You are on page 1of 134

PANOMERA

MUSWE
PANONYEREDZA

Na
Abraham Makamera
Panomera Muswe Panoyevedza

ISBN: 978-0-7974-7939-5

Copyright © 2017/Abraham Makamera

All rights reserved.


No part of this publication may be reproduced, or transmitted,
in any form, or by any means, without the prior written per-
mission of the author.

Cover design and Interior Page layout by Pearl Press Media


First printed and bound in Harare by Pearl Press Media
+263 777 031 230; +263 775 101 750
ZVIRI MUBHUKU
TSAURO 1 ..................................................................................................... 4
TSAURO 2 ..................................................................................................... 9
TSAURO 3 ...................................................................................................14
TSAURO 4 ...................................................................................................20
TSAURO 5 ...................................................................................................25
TSAURO 6 ...................................................................................................30
TSAURO 7 ...................................................................................................36
TSAURO 8 ...................................................................................................42
TSAURO 9 ...................................................................................................48
TSAURO 10 .................................................................................................55
TSAURO 11 .................................................................................................62
TSAURO 12 .................................................................................................69
TSAURO 13 .................................................................................................75
TSAURO 14 .................................................................................................82
TSAURO 15 .................................................................................................90
TSAURO 16 .................................................................................................97
TSAURO 17 .............................................................................................. 105
TSAURO 18 .............................................................................................. 111
TSAURO 19 .............................................................................................. 117
TSAURO 20 .............................................................................................. 123
TSAURO 21 .............................................................................................. 130
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 1

"M onica!Monica!" vakadaro mai Mavis vachigogodza


pasuwo renhanga remuzukuru wavo.
"Iwe Monica! Unoti huchiri husiku here? Muka usiye
wadiridza muriwo kubindu uko," vakapedzisa kutaura vave
kupinda muimba yavo yekurara.
Monica akati kwarakwashu, achibuda mumagumbeze.
Hope dzainge dzakaita kumugara mumaziso kwazvo.
Akazvitatamura zvichisanganisira nekushama n'ai.
"Monica!, Mwana waTichaona uyu. Ah! Zvakaoma."
"Tete!" akadavira Monica achivhundunyura mbatya dzake
dzaigara mubhegi. Akatora juzi rake ndokupfeka. Akabuda
munhanga make ndokumutsa vatete vake vainge vachitsvaira
pachivanze.
"Ko kuzorara sezvinonzi mune vashandi zvaita seiko? Che-
ro ivo vane madhigiri vakamukira kubasa wani."
"Kwete tete, ndakanonoka kurara ndichiverenga."
"Hehedeee! Seka zvako mwana wemuera Soko. Unoti
munosvika kupiko nemabhuku amunoda kuita mutsimba nawo
aya? Pane mwana wekwaBvudzijena wawakambonzwa
akasvika kuUniversity here? Handiti baba vako vakachemera
kuenda kuA' Level ichangotanga, nhasi vari kupi? Handivo
here vakabva vandoita bete rawira mumukaka kuHarare
kwavakaenda uko?" Vakazopedza kutaura Monica ave
kutopinda muimba yekubikira umo maakasvikotora mugomo
ndokubuda ave kunanga kubindu.
"Ndave kuenda tete," akadaro Monica atova kunze
kwechivanze.Panguva iyi Monica ainge ari mufomu yetatu
paChipwere High School, mudunhu raishe Matondwe, ku-
Bikita. Monica aiva mwasikana waTichaona Bvudzijena, ari-
yezve dangwe rake. Akakura achigara naamai vake avo vakaz-
oshaya ave nemakore gumi nemaviri ekuberekwa. Baba vake
ainge akapedzisira kuvaona aine makore manomwe vasati
vaenda kuHarare. Mushure mekushaya kwaamai vake
~4~
Abraham Makamera

akatorwa pamwe chete nehanzvadzi yake, Tapiwanashe,


ndokuchengetwa natete vavo mai Mavis avo vainge vasina
kumboita mwana. Iri rokuti mai Mavis ndiro ravaidanwa naro
kwavainge vakamboroorwa. Monica aiva musikana mutsvuku
zviri pakati nepakati. Aive mupfupi zvishomanana. Chimiro
nepachiso ndipo painge pakaperera unyanzvi hwanya-
denga.Mwana ainge akanaka iyeye kunge donwe redova riri
pashizha. Toenda kunyaya dzemabhuku ndiko kwaaidanwa
akadavira. Hapana aiti pwee kana yasvika nguva yekudzidza.
Munzira aifamba zvake achiimba nziyo dzekuchechi uku
ruoko rwerudyi ruchiridza mugomo.
Akasvika kubindu ndokutanga kudiridza muriwo.
Mai Mavis vakasara ndokupedzisa kutsvaira pachivanze.
Vakadzokera muimba yavo yekurara ndokumbodzokera mum-
agumbeze sezvo kwaitonhora. Vakambotora chinguva varimo
vachitambisa nharembozha yavo. Vakazobuda ndokurovera
musuwo vakupinda munzira votevera muzukuru wavo.
"Ko asi pane ambokubatsira here?" vakabvunza mai Mavis
vakamira pasasa rebindu.
Monica akati tendeu achivhunduka semukuwasha asvikir-
wa achichachura gapu renyama nambuyawasha.
"Kwete tete" Akapindura achirereka musoro, chiso chizere
kunyemwerera.
"Ari seiko muzukuru wangu?" vakadaro Mai Mavis vachi-
gara pamugoro waiva padyo nesuwo rebindu.
"Upiko iyeye tete?"
"Unoda titaure nemazita here? Asi vawanda here?"
"Zvavatetewo vasikana,nezera rangu rino here tete?" aka-
daro achichera mvura ndokudiridzira muriwo.
"Zvichine zera here mazuva ano muzukuru? Zvawato-
tumbuka chipfuva kudai watokura."
Monica akangoseka zvake ndokupedzisa kudiridza. Apedza
kudiridza akachereredza mvura mumugomo ndokuenda kum-
ba.Akasvika kumba hanzvadzi yake yatopedza kugadzirira
kuti aende kuchikoro.
Akasiya mugomo muimba yekubikira ndokupinda mun-

~5~
Panomera Muswe Panoyevedza

hanga make.Akasvikotora nharembozha yake yaiva mubhegi


rinogara mbatya dzake ndokuona pachiratidza kuti pane ange
ambofona.
Akatarisa ndokuona ndiPromise,ndokubva aridza tsamwa
achidzorera nharembozha makare.
Promise aiva mwanakaomana wavaZindoga. Ainge ave
nenguva yakati kuti akanda shoko kuna Monica.
Monica akakanda nhanho achibuda munhanga make
semunhu ainge anonoka.
Akagadzirirra ndokuenda kuchikoro.
Mai Mavis vakasara kubindu ndokumbogadzira madomasi
avo ainge ave kuda kubereka. Vapedzazvo vakavhara suwo
rebindu ndokuenda kumba. Vakasvikowana mai vavo vaMa-
kunge vakagara pachiruware chaiva kunze kwemusha vachid-
ya zvavo nzungu.
"Ko wange wamukira kupi kunotonhora kudai?" Vakadaro
vaMakunge vachitora nhekwe yavo yefodya yainge
yakasungirirwa pachichari chavainge vakamonera.
“Ndange ndaenda kubindu nemuzukuru kumbondodiridza."
"Asi haana kuenda kuchikoro here nhasi?" vakabvunza
vaMakunge mushure ndokutswinya fodya yavainge vaisa
muchanza chavo chekuruboshwe ndokuitsokodzera mum-
hinho,ndiye hotsi hotsi, zvidzihwa zvaiva zvakasviba kuti
ndoo ndokuyerera zvichidzika kumuromo.Vakapukuta
nechichari chiye ndokudzosera nhekwe payainga iri.
"Aenda uyo,atondisiya ndiriko," mai Mavis vakawaridza
rupasa ndokugarira.
"Iye mazuvaano ndichambonyatsomuona zvakanaka here
muzukuru wenyu iyeyi?"
"Aita seizve?"
"Achambogara pasi here?Kungodai ndichamboenda ku-
chikoro,kudai ndichamboenda kundoona shamwari yangu."
"Ko zvakashateiko nhai mwanangu. Rega mwana adzidze,
..."
"Kudzidza kupiko amai? Baba vake vamakadzidzisa vari
kupi nhasi uno.Hamuna kana kobiri rake ramakadya,zvino ini
~6~
Abraham Makamera

mati ndiite zvimwe chete here?"


"Uri kurevei nhai mai Mavis?"
"Dai atoita zvake zvemusha tagara tadya pfuma."
"Kuti kudaro nhai, apa unenge une..."
Havana kuzopedza. Promise akabva asvika. Vakakwazisana
ndokubvunzana mufaro.Mushure pakataurwa zvakasiyana si-
yana, Promise ndokuzosimuka ave kuenda.
"Ndiye muzukuruka uyu abva pano," vakadaro mai Mavis
vachishereketa semudzimai ane nhumbu.
"Uri kurevesa here iwe?" vakadaro vaMakunge vachi-
shamisika.Ko muzukuru wavo ainge ariwanirwa nani jaya ra-
katsvinda rikadaro.
Vakagutsurira musoro sedhambakuro ndokuzopedzisira
nekurovanisa maoko.
"Zvino makatoziviswa here?" vakabvunza vaMakunge
vachida kunyatsonzwisisa.
"Zvemazuva ano uchamirira kuudzwa here? Unongoona
wega kuti uhwu hwushamwari hwati siyanei nehwatinoziva.
Kana muchida kuzvionera pamhuno sefodya endai mun-
dotsvaga huni kugura uko zuva rovira."
"Pakanaka mwana.Regedza ndiende kumba ndingawana
shoko dzapedza mapopo angu," vakadaro vaMakunge vachi-
simuka kubva pavainge vakagara. Vakabuditswa chivanze
nemwana wavo ndokuenda kumba kwavo.
Zuva rava kugara makomo Promise akapinda munzira
onanga kuChipwere High School kundotaimira tsvarakadenga
yairwarirwa nemoyo wake. Haana kuzosvika pachikoro
chaipo,asangana naMonica uyo ainge ari oga. Chokwadi
mudzimu yake yainge yamurangarira. Ndiyo nguva yaaiga-
rochemera pose paaifunga nezvekuona Monica.Vaviri ava
vakakwazisana ndokumbotaura zvakasiyana siyana. Vakazoti
vati fambe fambe, Promise akaisimudzira yake yaainge
afambira.Mwanasikana akamboda kuti pamunondo pamusasa,
mukomana ndokuramba akaruma chirebvu.
"Monie!I really mean it. Trust me," akadaro Promise neizwi
rairevesa.
~7~
Panomera Muswe Panoyevedza

Monica akasimudza musoro ndokutarisa Promise muma-


ziso kwekanguva ndokutsikitsirazve pasi.
"Ndiri kuzvinzwa Promise, and..." haana kukwanisa
kupedzisa kutaura ndokumbotora kanguva akashama muromo
zvekuti dai nhunzi dzaigadzira uchi musi uyu dzingadai
dzakahugadzira mumuro maMonica.
"Tauraka nhai Monica."
Akadaro Promise achibata maoko aMonica.Paiitika izvi
vaMakunge vainge vave mugura nechekare. Apa vainge
vakahwanda nezvimakwenzi vachinhonga zvitsotso sepasina
zvavaiona.
Monica akasimudza musoro rwepiri. Panguva iyi maziso
ainge aita kutsvuka kuti piriviri. Promise akazviona
ndokungoti nechemumoyo, “Ndizvo zvaaanoita kana wamu-
tanga musikana.”
"Monica!"
"Promise!"akadaro Monica neizwi rakadzikama.
"I really love you," akadaro Promise achiswedera padyo na-
Monica. Akamubata nechemuhuro zvakanyorovera. Akaisa
muromo wake pane waMonica, vaviri ava ndokutanga
kutsvodana. Monica akakatanura bhegi remabhuku raainge
akatakura ndokuritsveta pasi.
"Taswera muzukuru kana waswerawo?" vakadaro vaMa-
kunge vachibuda paseri pemakwenzi pavainge vakahwanda.
"Kwange kuri sei kuchikoro?" vakaenderera mberi vamira
zvino vakabereka maoko.
"Kwange kuri right," akapidura chiso chizere kunyara.
Akanhonga bhegi remabhuku raive pasi ndokupinda munzira
onanga kumba. Promise akambosara akamira ndokuzooneka-
na navaMakunge ave kuenda kumba kwavo. VaMakungewo
vakatakura tutsotso twavainge vaunganidza ndokuendawo
kumba kwavo.

~8~
Abraham Makamera

TSAURO 2

Z uva rakatevera racho Monica akamuka zuva ratobuda


sezvo waiva musi weMugovera. Akapinda muimba
yokubikira ndokubatidza moto, ndokuisa hari yemanhanga
pachoto.
"Sisi ndine nzara ini," akadaro Tapiwanashe achipinda
muimba yekubikira,apa maziso ainge akazara mabori. Mbovha
dzainge dzakaita mutsara dzichitevedza matama ose.
"Tanga wageza kumeso, wozodya munya wako uri mu-
chiseme umo."
Tapiwanashe akatora mvura chinyararire ndokubuda panze
ondogeza kumeso. Akadzoka ndokutora munya wake
ndokudya.
"Ko tete vaenda kupi?" akadaro Tapiwanashe achigura
musuva wesadza ndokumbousvinyanga svinyanga, mushure
ndokugadzira kakomba ndokuunyika muderere. Akaubuditsa
ndokuukanda mumuromo zvose nezvigunwe.
"Havako here?" akapindura Monica achishamisika.
"Havako avo."
"Handizivewo ini, ndatoti zvimwe vakacharara ini."
Akakuchidzira moto wainge wave kumhova, ndokuwedzera
mvura muhari yemanhanga yainge yave kutsva. Apedzazvo
akabuda panze ndokundomira akazendama nechitara, apa ru-
oko rwerudyi rwainge rwakabata dama rekurudyi sezvinonzi
rainge rave kuda kudonha. Akambotora kanguva akamira
semunhu aifunga zvakati dzamei.
"Uri kufungeiko nhai muzukuru zvawamira semunhu afir-
wa kudaro?" ava vaiva vaMakunge, mbuya vaMonica vaitaura
vachiswedera paiva naMonica.
Monica akatendeuka ndokutarisana nambuya vake vainge
vataura. Haana kukwanisa kuvatarisa mumaziso nekuda
kwenyadzi.

~9~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Hapana zvangu mbuya," Akapindura ava kufamba achien-


da kuimba yokubikira. VaMakunge vakamutevera ndokusvi-
kogara pasi. Pakamboita karunyararo pasina ari kutaura ne-
mumwe. VaMakunge vainge vari bishi nekutsokodzera fodya
mumhino dzavo, uyuwo Monica aingogofa gofa moto zvema-
tandanyadzi.VaMakunge vakasimudza musoro ndokutarisa
muzukuru wavo ndokuona mwanasikana akatsikitsira pasi
semuroora achangosvika pamusha.Kuti titi dzaiva tsika
tinganyepe.
"Monica!"
"Mbuya," akapindura Monica achisimudza musoro apa chi-
so chizere nyadzi.
" Ndicho chii chiya chawaiita nezuro? Zvemabhuku tsve,
wava kuita zvevakomana nezera rako irori."
Monica akaramba akanyarara achishaya zvekutau-
ra.Akatsikitsirazve pasi ndokumboruma ruma zvigunwe.
"Ndipindure mhani iwe.Chauri kuda chaicho chii? Uno-
tambisirei mari yangu nhai iwe? Iko kapenjeni ikako ndoti
regaiwo ndikuendese kuchikoro iwe wondiitira tsvina dzaka-
dai," vakapaumba vaMakunge izwi rakwira zvino.
Monica paakati apindure, Mai Mavis vakabva vapinda
mumba vakagukuchira pasuro yainge yakaputirwa.
"Makanaka here mumba muno muri kupopotewa kudai?"
vakabvunza mai Mavis vachigara pasi.
"Kunogonakei? Ndiri kutoda kuziva kuti ndiwe here uri
kubvumira madhaka andakaona nezuro kugura uko. Mwana
mucheche anoita chinyadziso achigara navatete
wakambozviona kupi?" vakadaro vaMakunge ndokuvhomora
nhekwe yavo yefodya ndokuisa fodya mumhino. Chembere iyi
yaizoitawo seyakarumurwa nefodya zvekuti dai yaikodza van-
gadai vakaita mutumba senzou chaiyo. VaMakunge vaive
nemuviri mutete, vachiratidza kuti pahumhandara hwavo
vaiva munhu murefu. Chiso chairatidza kuti vainge vasina
kumbosiyana nemuzukuru wavo Monica. Zvino
nekuchembera zvose zvainge zvangova matakadya kare. Chiso
chainge chaunyana zvino. Kufamba vainge vobatsirwa nemu-
~ 10 ~
Abraham Makamera

donzvo apa musana wainge woita sewegeja.


"Murikureveiko nhai amai? Wamuri kuti mucheche ndian-
izve?" vakabvunza mai Mavis vachiratidza kushamisika.
"Vana kuita semhuka. Chokwadi tsika dzedu dzarasi-
ka.Regai mvura irambe kunaya."
"Ndipo pamunonetserawo vanhu vekare imi. Nyaya dzenyu
ndedzekungorova imbwa makaviga mupinyi, tsvee kungoti
bvoo pane nyaya chaipo."
"Mubvunzeka muzukuru wako uyu ari apa," vakadaro
VaMakunge vachinongedzera kuna Monica.
"Inyaya yechiiko nhai Monica?" vakadaro mai Mavis
vachida kunyatsonzwisisa.
"Mbuya vakandiona nezuro ndina Promise," akapindura
Monica neizwi rakadzikira.
"Ahhh ndiyo nyaya yacho here iyoyo?" vakambomira
ndokuguma guma rukuni rwainge rwoita utsi.Monica
akangogutsurira musoro ndokuramba akanyarara.
VaMakunge vakazviona vakati vaisimudzira, "Chauno-
gutsurira musoro ipapo chii? Wakakwana here iwe mwana
waTichaona?"
"Hasha ndedzei amai, handiti ndiye muzukuru wandakaku-
ratidzai nezuro here panze apa? Tikatowirirana kuti azviwani-
ra munhu akatsvinda wani. Chashata ipapo chii?" ava vaiva
mai Mavis vaizama kudzikamisa amai vavo avo vainge voita
kupupira furo nehasha.
Zvechokwadiwo nezuro wacho vaMakunge vainge vawir-
irana nenyaya yekuti Promise aiva mukomana ainge achiyem-
urika. Chisina kunge chazivikanwa namai Mavis ndechekuti
VaMakunge vainge vasina kuwirira nenyaya yekuti Monica
amhanyise tsuro mbiri panguva imwe chete.
"Une kobiri rawakabvisa here iwe pamwana uyu?
Haunyare wakaita sei Ratidzai? Mukadzi mukuru anofurira
mwana tsika dzakashata kudaro."
"Zvaamai vasikana, nyaya yandaingokuudzai nezuro ndiyo
yamuri kungotsimbirira. Hee chikoro, hee chino. Gotwe renyu
ramakadzidzisa riri kupi nhasi? Handiti imari yama-

~ 11 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kangotambisa paya? Iyi modazve kuti iende ichichema,


hamunzwe makaita sei? Mwana akaroorwa mukanhonga
yenyuwo mundiro pane chakashata here ipapo?" vakadaro
mai Mavis.
"Ndagara ndichanhonga mwanangu. Chaunofanira kuziva
mwanangu ndechichi, upenyu hwemazuvano hwasiyana
nehwedu hwekare. Ikozvino akandotadza kugara kumurume
ikoko handiti anodzokazve pano kuzomirira penjeni yechem-
bere ino here? Tsvee kuzozvishandirawo nemaoko ake
ayo.Chero ari pamurume wake ipapo, handiti vanotobatsirana
zvinhu zvichiendeka?" vakadaro vaMakunge, ndokutarisa
muzukuru wavo uyo ainge akangotsikitsira pasi. Vakaguma
guma fodya yainge yasarira mumaoko avo ndokuti, "Monica!"
"Ambuya."
"Chimboita zvemabhuku muzukuru,ndapedza ini mwana
waDhehwa," vakapedzisira nekufura madzihwa nechichari
chavainge vakamonera.
Monica akatarisa vatete vake ndokuona vakamutarisawo
vachimwerera, vaine chiso chaiti mudzimu haupe kaviri, cha-
wawana batisisa muzukuru. Monica chaakangokwanisa kuita
kugutsurira musoro, ndokusimuka onanga panze. Akandogara
paruware achifunga zvekuita nenyaya yaPromise.Pfungwa
dzakambomuti siyana naye umbotevedzera zvarehwa
nechembere iyi, moyo ukati kwetezve, mwasikana mhodzi
yerudo zvayamerazve.Mwanasikana akasimuka paainge ak-
agara ndokuenda kunhanga kwake. Akasvikotora nhar-
embozha yake ndokuona Promise abvira kare achingofona
pasina aidavira.
"Nxaa zvinopenga zvichimbere izvi!" akaridza tsamwa
achizama kufonera Promise.Akaramba akaisa nharembozha
panzeve ndokunzwa haisisina mari.
"Eish! Airtime yangu yapera nguvaizve, asi tete vam-
boshandisa nhare yangu?" akadaro achitaura ega.
Akamboramba akamira kwekanguva achifunga zvekui-
ta.Akakanda nhanho achibuda panze, ndokumbotenderera
nechivanze sepane chaaitsvaga. Mushure akadzokera mun-
~ 12 ~
Abraham Makamera

hanga make ndokusviko chinja mbatya dzaainge akapfeka.


Akabuda ndokupinda munzira yainanga kumagirosa. Kwainge
kwava kuendwa zvaitoda iye Monica kuti atsanan-
gure.Zvainge zvangoita fungira mumoyo rwendo rwembwa.
Muimba yekubikirawo, mai Mavis naVaMakunge
vakambosara vachikurukura twakasiyana siyana. VaMakunge
vakazosimuka voenda kumba kwavo.
"Usatunhidza mwana tsika dzakashata mai Mavis.Izvozvi
angobuda unoziva kwaaenda here?" vakabvunza VaMakunge
vave kubuda muchivanze.
"Zvimwe aenda kushamwari yake kuna Rose uko,"
vakapindura mai Mavis vachidzokera muimba yekubikira.
"Hoo kana ari Rose wechokwadi bva zvakanaka," vakadaro
vonanga kumba kwavo. Mai Mavis vakasara
ndokuvhundunyura pasuro yavainge vauya nayo kubva
kwavaZindoga vanova baba vaPromise.
Mai Mavis vaiva mukadzi mukobvu ari murefu zviri pakati
nepakati. Tsika nehunhu ndinganyepa,zvotoda tizvionere tose
pano.

~ 13 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 3

B ere ratakura mbudzi,imbwa ndokushaya hanya


nazvo,zvine chirevo.Promise akamuka mangwanani
emusi weChina ndokunanga kurwizi kundogeza. Apedza
akadzokera kumba ndokusvikopfeka mbatya dzaka-
naka.Akazviringa ringa pachiringiro chaiva pagonhi rewadhi-
ropi yake ndokuguma guma zvimagumbeze zvaiva
pamudhebhe waainge akapfeka. Akatora ngowani yake
ndokuigadzika mumusoro. Jaya rakadzokera pachiringiro
rwepiri ndokutora kachinguva riripo. Akagutsurira musoro
ndokufamba achibva pachiringiro. Akabuda mugota make
akatakura kabhegi kadiki,kerudzi rwepfumbu.
Mukomana akaonekana namai vake pamwe chete nababa
avo vainge vari kudanga vachikama mombe.
"Ukurumidze kudzoka,nguva yezororo iyi inonetsa haide
kuti munhu afambe usiku," vakadaro VaZindoga, baba
vaPromise.
"Ehoyi baba," akadaro Promise achizvikakanyadza achibu-
da muchivanze.
Akatora nzira yainanga kwaamai Mavis, ndiye rukova
Nyamapere yambu.
Munzira aingofunga maswerero aaizoita netsvarakadenga
yake Monica sezvo range riri zororo reKisimusi.
Achindosvika akawana mai Mavis vagere zvavo muimba
yekubikira, vachiundura huku yavainge vauraya.Tapiwanashe
chainge chichisvina matumbu ehuku chiri kuseri kwehozi.
Monicawo ainge ari munhanga make achiti akambopfeka
rokwe reruvara rutsvuku rine madodzi dodzi matema
ozviringa ringa oribvisa, opfeka siketi nechipika zvakafanana
obvisazve. Akavhundunyura bhegi rake ndokubudisa mbatya
dzose ndokutora rokwe rine maruva maruva ndokupfeka.
Akazviringa ringa ndokugutsurira musoro.

~ 14 ~
Abraham Makamera

Zvechokwadiwo rainge rakamugara, aiita seakazvarwa


naro.
"Iro izwi raPromise chete," akakadaro achiswedera pasuwo
renhanga ndokuteerera. "Azokurumidzisa mhani, apa tete
ndange ndisati ndatombovaudza..." akadaro achitaura ega.
Akapfeka gogo dzaainge akatengerwa nabamunini vake,
munin'ina wababa vake. Mwanasikana akakanda nhanho
shanu dzinenge nhanhatu ndokumira pakati pechivanze kwe-
kanguva.
Pachokwadi mwana ainge akaumbwa iyeye. Akazosimudzi-
ra ave kuenda muimba yekubikira aine kufamba kunoti kuzori
zoroi.Chero iye ari pamakwikwi erunako haambosvika ipapo.
"Ko Tapiwa ari kupi nhai tete?" Akadaro Monica achig-
wadama parupasa paiva pakagara tete vake.
"Ari panze apo paari kugadzira matumbu ake," vakabura
poto yaiva pamoto ndokugadzika imwe yaiva nemupunga.
"Ko haumhorese vamwe here nhai Monica?" vakadaro
vaona Monica atora chinguva asati akwazisa Promise.
"Ndamumhoresa wani tete,asati atombopinda muno,"
Akapindura achigara pasi.
"Ichokwadi here nhai Promise?"
"Ichokwadi tete," Promise akapindura achinyara nyara.
Idzi dzaiva nhema dzoga dzoga, vaviri ava vainge vasina
kumboonana musi uyu. Ndiko kwange kwaitori kutanga kuo-
nana zuva iri. Chero panharembozha vainge vasina kumbotau-
ra vose sezvo nharembozha yaMonica yainge isina moto.
"Bva zvakanaka muzukuru, tazomboti Christmas box
here?" vakadaro mai Mavis vachiseka.
"Murikureva ini here tete?" Monica akabvunza achizvibaya
pachipfuva.
"Ndinogobvunza iwe une chii zvako mwana waBvudzijena?
Totobvunza vakabva kuHarare ava," vakadaro vachikuchidzi-
ra moto.
Promise akasimuka ndokubuditsa chikwama chaiva
muhomwe yemudhebhe waainge akapfeka. Akavhomora mari
yemapepa inosvika zana remadhora ndokutambidza mai Ma-

~ 15 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vis.
"Waita zvako muzukuru,ugare kure nemoto. Mutupo chii
zviya?" vakadaro vachisungirira mari iya pachichari
chavainge vakamonera.
"Shumba Nyamuzihwa," akadaro achitsikitsira pasi.
"Ahh muri babamudiki vangu. Murume wangu aiyera
Shumba Nyamuzihwa. Regai ndikutendei nemutupo:

Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara, maita Muchori.
Maita vaNanga vasina mhezi,
Vakabva Buja nembondwe.
Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka.
Ewo Bonga, waChingate,
Muzukuru waMapahwe, wari Choma,
Ewoyi Shumba, maita Hara.
Maita Nonga rangu riri,
Maita Nyamuzihwa, maita vari Mangadza.
Maita vari Domboshava rina mavara machena,
Dombo rakaramba kumera uswa nemiti,
Rinoti kukwira munokwira namabvi,
Rina makwapamakwapa anenge nzira.
Maita zvenyu Shumba,
Chikanda changu chichi,
Maita vaTsuri vamasawara.
Kana musipo hapana chinochekwa.
Maita Chiurayi, hekani Chikanda,

~ 16 ~
Abraham Makamera

Mwana waMukombwe naNehoreka,


Chipfuyavarombo, hekani vaNjanja,
Maita Mutumbe, Donga, vari Man'anja,
Samanyara,
Zvaitwa Kondovha asingachariki mvura,
Mwana waChinyanga, asingadye imwe mbeu,
Kusiya kwezviyo chete.
Maita vari Tsatsa Mukonde,
Aiwa zvaonekwa Nyamuzihwa,
Tikafira pano wani." Vakadaro vachiombera.
"Zvamunotomuziva wese, ini handitonyatsomuziva
wese."
Akadaro Promise achishereketa.
"Haa baba vemwana hamusi serious imi,motoudzirwa
mutupo nemukadzi here?" vakadaro mai Mavis vachiseka
zvavo.
Paitaurwa zvose izvi Monica ainge akagara zvake, chiso
chakatarisa pasi. Akazovhundutswa navatete vake vaka-
muzungunisa ndokumuraira kuti apakure chikafu.
Monica akasimuka ndokupakura chikafu.Vanhu vapedza
kudya mai Mavis vakasimuka ndokuenda kuimba yavo yeku-
rara.Vakambopedza kanguva varimo ndokuzobuda vachinja
mbatya dzavainge vakapfeka.
"Ndava kuenda kwababa Jerry, tiri kundoswera ikoko.
Ukurumidze kutevera," vakadaro mai Mavis vachibuda
muimba yekubikira.
"Handisi kuuya ini tete.Ndiri kuda kuenda kuGrowth
Point."
"Unoenda nani kure kose ikoko?" vakadaro mai Mavis
vachidzokera muimba yekubikira.
Monica akaramba akanyarara akatarisa Promise kuti apin-

~ 17 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

dure.
Promise akati koso koso ndokuti," Ndini ndiri kuenda naye
tete."
"Kana uriwe zvakanaka muzukuru,uchengete vadzimai
vako avo. Wotofamba uchivadzidzisawo mutupo wako," vaka-
daro vachiseka zvavo.
"Zvakanakai tete," akadaro Promise achinyara nyara.Mai
Mavis vakabuda ndokutorana nemuzukuru wavo, Tapiwa-
nashe voenda. Vakadarika nekwavaMakunge vachivatora
ndokuenda kumba kwehanzvadzi yavo.
Monica akasara ndokusimuka paainge akagara ndokuenda
paiva naPromise. Akamubata nemaoko ndokumusimudza
paainge akagara. Akamumbundira ndokumbotora kanguva
vakadaro.
"Waita zvako," akadaro Monica achitarisa Promise
mumaziso chaimo.
"It's ok babe. Ko ngatichibudaka tiende. Tanonoka," akadaro
Promise mushure mekutsvoda Monica padama.
Monica akarongedza mapoto, mushure ndokutevera Prom-
ise ainge atova panze.
"Ko tiri kudzoka nguvai?" akadaro achivhara gonhi repam-
ba yekubikira.
"Around 5. Asi uri kuda kukurumidza kudzoka here?"
"Chero time dzatadzoka, asi ini handide zvekufamba usiku,"
akadaro Monica achirereka musoro.
Vaviri ava vakananaidzana vachienda kumugwagwa. Vaka-
tora nzira yaitevedza gwara remombe kuitira kutiza veruzhin-
ji. Vachindosvika pachiteshi, hapana kupera nguva vasati va-
wana motokari yaindovasiya paGrowth point chaipo.
Vachindosvika vakatsvaga chikafu chemhando yepamusoro
ndokudya.Promise semunhu ainwa akapinda mubhawa
ndokubudaakabata mabhotoro ehuno hwutsvuku hwainge
huchipfungaira utsi nechando.
"Ko ini ndinonwa chii zvawangouya nebeer rako chete?"
"Tinonwa tese beer irori," akapindura achivhura bhotoro
rehwahwa.Akariti tsinda pamuromo, ndokuhukweva, chero
~ 18 ~
Abraham Makamera

iyo mhuru iri kuyamwa haisvikipo.Akatsveta bhotoro patafura


ndokuvhomora chitsama chemari ndokutambidza Monica.
Mwanasikana akarohwa nehana ndokumboramba akatarisa
ruoko rwaimutambidza mari.
"Gamuchiraka nhai babe," akadaro Promise achisimudza
bhotoro rake ndokuridzorera pamuromo.
Monica akatambanudza ruoko ndokutambira mari.Vaviri
ava vakadya vakafara musi uyu.Zuva rakazoti rava kurova
nhongonya, Monica ainge ave kuchinjanisa zvinwiwa.Aiti
akamboti dzvutu hwefuro jena, ombonwa zvake zvaainge
azvitsvagira oga.
Zuva parakazogara makomo, mwanasikana ainge ave kune
imwe nyika.Akasimuka paainge akagara ndokupinda mubha-
wa ndokubuda akariti dzvii rino reBlack Label. Vakamuona
musi uyu vakangoti zvimwe ipfambi yemunharaunda iyi sezvo
rutsigo rwaanga abva narwo kumba mangwanani rwanga
rwatama.
Kuvira kwakaita zuva hapana kana chaakaona. Vakazoron-
ga kutsvaga kwekundorara sezvo vainge vashaya motokari
dzaizondovasiya kumba.
Zvakaitika ndezvakaitika. Zvotoda ivo vaviri.Monica aka-
zongopepuka rave rechimangwana racho muviri wakarukuti-
ka.Akamutsa Promise uyo ainge akafa nehope ndokubva
vaenda kundogeza.
"Ko kuzenge wakasuwa chii nhai Monica?"
za Promise aona chiso chaMonica chaiita sechemunhu afirwa.
"Tete ndinovati ndakarara kupi?" akabvunza misodzi
ichitanga kuyerera nematama.
"Usachema. Ndinotaura navo inini," akambundira Monica
ndokumupukuta misodzi yainge yoita serukova pamatama.

~ 19 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 4

M onica akasvika kumba zuva rogara makomo.Tete


vake, mai Mavis vainge vagere zvavo paruware
vachiruka juzi raTapiwanashe rekuchikoro.
"Titambire muzukuru," vakadaro mai Mavis vachitsveta
zvirukwa pasi. Vakasimuka kubva pavainge vakagara
ndokufamba vachindosangana nemuzukuru wavo. Vakatambi-
ra pasuro yainge yakabatwa naMonica ndokupinda nayo
muimba yekubikira.
Monica akafambawo achipinda munhanga make.
Akasvikogara pasi ndokutanga kubaya baya nharembozha
yake. Mai Mavis vakambotora kanguva vari muimba yeku-
bikira, vakazobuda ndokutevera muzukuru wavo kunhanga
kwake. Vakasvika ndokumira pasuwo vakamutarisa.Chiso
chaMonica chainge chizere kunyemwerera.Akamboruma ru-
ma nzwara yekasiyanwa akatarisa panharembozha yake.
"Inga uri kunakirwa zvako. Uri kutaura nani zvako wabva
wafara kudaro?" vakadaro mai Mavis vachipinda mukati.
Monica akavhunduka ndokusimudza musoro." Hapana te-
te," akapindura, ndokusimuka painge akagara.
"Ko kuzononoka kudzoka zvanzi chiiko mainini? Dai
makandiudzaka kuti uri kurara ikoko zvainge zvakaipei?"
"Ndakazoshaya motokari yekudzokesa tete. Dzainge
dzazara zvekuti ndakatadza kutsikinyidzana nevanhu ini,"
akapindura achifamba famba.
Mai Mavis vakazviziva kuti idzi dzaiva nhema dzoga dzo-
ga. Vakabva vati, "Zvakanaka muzukuru." Vakatendeuka
ndokubuda vodzokera kuimba yekubikira.
Monica haana kumbotora chinguva achibva atevera vatete
vake.Achangogara pasi vaMakunge vakabva vasvikawo.
Vakakwazisana ndokumbotora kanguva vachikururukura
dzakasiyana siyana.

~ 20 ~
Abraham Makamera

VaMakunge vakavhomhomora nhekwe yavo yefodya


ndokugugudzira fodya muchanza chavo chekuruboshwe.
Vakaitswinya nezvigunwe zverudyi ndokuikwevera mum-
hinho,misodzi ndokumboyerera nematama. Chembere
yakahotsira katatu kanenge kana ndokukweva fodya yainge
yasarira muchanza. Chembere yakatora kanguva yakatsikitsi-
ra misodzi ichichururuka.
Vaiziva vaMakunge vaiti vakaona zvadai vaisuduruka
kubva padyo navo nekuti waigona kuzopepuka wagarwa nawo
mudonzvo wavo. Izvi zvaiwanzoitika kana paine nyaya yainge
ichivashungurudza. Mai Mavis semunhu aiziva amai vavo va-
kashereketa zviya zvekuti muzukuru wavo Monica avatarise.
Monica semunhu aiva murima pasina zvaaiziva akaramba
akatsikitsira achibaya baya nharembozva yake. Mai Mavis
vakabata rukuni rutete rwaiva muchoto ndokugofa gofa moto
vachiswededza marasha pedyo nepaiva netsoka dzaMonica.
Monica akanzwa kakudziya ndokutarisa wanei makumbo ava
mumazimbe emoto. Akatarisa vatete vake ndokuona chiso
chavo chizere kushushikana. Akaramba akatarisa vatete vake
avo vakazoshama muromo ndokutaura nezeveve zeve rai-
sanzwikwa vachiudza muzukuru wavo kuti abude panze.
Monica akati kwanyanu paainge akagara, ndokufamba ava
kubuda panze. Paakati apfuure paiva navaMakunge akanzwa
rokwe raanga akapfeka rahakwa.
"Urikuenda kupi? Dzoka ugare pasi," vakadaro vaMakunge
vakachangobata rokwe remuzukuru wavo. Monica akatend-
euka ndokufamba achidzokera paainge akagara. VaMakunge
vakapukuta chiso chavo icho chainge chaita semunhu adirwa
mvura kumeso.
"Monica muzukuru,ndiudzewo kuti chii chiri kukunetsa?"
vakabvunza vaMakunge vakatarisa muzukuru wavo uyo ainge
ari mubishi nekutinya tinya nharembozha yake.
"Hapana ambuya" Akapindura akangotsikitsira panhar-
embozha yake.
"Une chokwadi chekuti unonwa doro zvawakaita izvozvi?
Unoda kutodza ani iwe? Wakarara kupi nezuro?" Izwi rainge

~ 21 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

rashanduka zvino.
Hongu vaMakunge vainge vadya makisimusi akati kuti, asi
kana nyaya dzekuraira dzichinge dzatanga vaidzoka kuita
mudzimai wechidiki chaiye. Vainzwa simba richiuya mumuviri
wavo zvekuti mwana wavo mukuru vakatombomuvhara nem-
bama akandowira kwakadaro.
"Akarara munhanga make umo. Munoti angarara musango
mwana akura kudai achitadza kuziva kudzoka kumba here?
Iyo yekunwa doro handitoizivewo.Asi mangoita zinzwa nek
here guhwa rekwaMuvhimi kuti nzou dzoperera mumariva?"
Ava vaiva mai Mavis vaizama kununurira muzukuru wavo
uyo ainge ongobwaira bwaira.
"Iwe Ratidzai nyarara! Ndinokugobora netsvimbo iyi,"
vakadaro vachisimudza mudonzvo wavo vakanongedza mai
Mavis nawo.
Mai Mavis vakaona kuti zvinogona kungoipa ndokuramba
vakanyarara.
"Ndipindure Monica! Usandibuditsira maziso anenge
echidaira. Unoda kundivhundusira here?"
"Munoda ndikupindurei kuti chii nhai ambuya? Handiti
pane akuudzai kuti handina kurara kumba here, pamwe chete
nekuti ndainwa doro? Madii matomubvunza mibvunzo yese
yamuri kundibvunza iyi?" Apedza kutaura mashoko aya
akaenderera mberi nekutambisa nharembozha yake.
VaMakunge vakadzungudza musoro ndokutora fodya yavo
voputa. Monica ainge asanduka pachokwadi. Tsika dziya
dzaigarorumbidzwa dzainge dzatorwa nemhepo. Hunhu
chaihwo painge pasisina. Ainge angova dindimukwa mbune
mwana asikanzwi.Hapana waainge achatereerera.Akasimuka
paainge akagara ndokufamba achibuda panze.
"Wave kupenga here mwana iwe? Wapindwa nei chaizvo
Monica?" vakadaro vaMakunge misodzi ndokutanga kuyerera
nematama.
Monica akamira ndokutendeuka zvinyoro nyoro, akati koso
koso ndokuti," Ambuya zvamakanzwa ndizvozvo." Akatend-
euka ndokubuda panze.
~ 22 ~
Abraham Makamera

"Nemiwo amai munazvowo. Dai muchifa neBP nezvinhu


zvisina nebasa rose. Hee wakarara musango, hee wava kunwa
doro, heee chino hee chakadero. Chero akarara musango
handiti adzoka kumba here? Anotyisa ndeuya anobva aita mu-
seve waenda nouma. Anoziva kumba akanaka," vakadaro mai
Mavis vachitaura naamai vavo avo vainge vakangotsikitsira
vachichema.
VaMakunge vakasimudza musoro ndokutarisa mwana wa-
vo nechiso chizere misodzi. Maziso ainge atsvuka kuti piriviri
semunhu aputa zumbani.
"Ratidzai...!" Vakambonyarara ndokuzosimudzira voti,
"Unoda mwana aite mhuka yesango here?"
"Amai kana imi mazvitadza munoti ndini ndi-
nozozvigonawo here?"
"Unozvitadza nei munhu akasvika kudai? Chandisina ku-
kuraira ini amai vako chii? Mwana achiri mudiki uyu, ukamu-
tadza ipapa anochema mangwana ndiwe."
VaMakunge vakasimuka pavainge vakagara ndokubuda
voenda kumba kwavo vasina kuoneka. Chembere yainge
yarwadziwa nehunhu hwainge hwava nemuzukuru wavo.
Zvotiwo mwana wavo Ratidzai uyo airatidza kutsigira zvaiit-
wa naMonica zvakapa vaMakunge mutoro mupfungwa dzavo.
Vakambozvinyaradza nemashoko anoti yafamba kamwe
haiteyiwi, asi vakazoona kuti chirungurira chirwere,
ukanyarara unofa nacho.
Vakasvika kumba kwavo ndokusvikonwa mvura yaiva
muchirongo chaiva muberere reimba yavo yekubikira. Vakap-
fuurira voenda kugotwe ravo Baba vaJerry ndokundovapira
zvainge zvaitika.Baba Jerry kungozvinzwa kwavakaita,
murume akaviruka nehasha.Vakasimuka ndokunhonga demo
ravo raiva padyo nepavainge vakagara ndokuriti kadzva pa-
fudzi. Vakapinda muhozi yaiva kumadokero kwemusha wavo
ndokutora uta nemiseve semunhu ari kuenda kundovhi-
ma.Vakamona mudzanga wefodya ndokuutungidza.
Vakamboukweva vakamira ndokubudisa utsi nemumhino
sechitima chemarasha, hwainge hwasarira ndokuzohwufuridza
~ 23 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

nemuromo hwuchienda mudenga.Vakapinda munzira yaienda


kwaaMai Mavis pasina wavataura naye.
"Musandorovana ikoko," vakashevedzera vaMakunge, asi
hapana akavapindura. VaMakunge vakasimuka pavainge vak-
agara ndokutevera gotwe ravo.
Vachindosvika vakawana ari mabiribobi kubhiridha
kwemadhongi.Pakaudzanwa makobvu nematete.
"Chamunonetsanirana chii ipapa? Upenyu ndehwangu uh-
wu, ini..."Monica haana kuzopedzisa kutaura,aigadzikwa ino
ganyamuto mbama inodzipura neganda. Dai vasiri vavakidza-
ni vamai Mavis vakazodzimura dzivo iri, pangadai pakaita
mariro musi uyu.

~ 24 ~
Abraham Makamera

TSAURO 5

P akapera mazuva matatu mushure memhirizhonga


yainge yaitika pamusha paamai Mavis. Mai Mavis-
vakafuma vakarara vachichema chema nemusoro. Vakamuka
ndokubuda panze. Havana kupedza nguva varipo vachibva
vadzokera muimba yavo yekurara.
"Monica! Monica! Huyai pano mainini," vakashevedza
muzukuru wavo vachifukidza makumbo avo negumbeze.
"Tete! Ndiri kuuya." Uyu aiva Monica aipindura ari
muhozi yaiva kumadokero kwemusha umo maainge achitsvai-
ra. Akakanda mutsvairo pasi ndokubuda muhozi onanga
kwaiva navatete vake.Akazvikopfugama pamagumbeze aka-
mirira tete vake kuti vataure.
"Nyatsogara zvako muzukuru.Ndoda timbokurukura."
Monica akanyasogara akatandavara makumbo apa musana
wainge wakazendama nemadziro emba.
"Ndini ndakushevedza muzukuru,ndange ndisati ndambo-
gara newe pasi sezvataita izvi. Chiripo chaita ndigare newe
pasi, ndinofunga unochiziva?" Vakadaro mai Mavis vakatarisa
Monica uyo ainge akangoyeva vatete vake akarereka musoro.
Monica akambotora kanguva achifunga kuti ingava nyaya
yechii yaida kutaurwa navatete vake,mushure ndokuzoti,"
Kwete tete ndatadza ini"
"Monica nyaya yandakushevedzera ndeyaPromise.
Pane zvandiri kuda kuziva pamusoro pako naPromise,"
vakambomira vachitarisira kuti Monica angataura asi
akaramba akasona muromo.
"Ndingaenderera mberi here?" vakadaro vaona muzukuru
wavo aramba angonyarara.
Monica akangogutsurira musoro achiratidza kuwirirana
nezvainge zvabvunzwa navatete vake.
"Muzukuru zvawadai wakura. Ndinofara chaizvo ndichiona

~ 25 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

muzukuru wangu Promise achisvika pano. Hongu baba am-


buya vako vangade kuti uchiri mwana chimbosiya zvevako-
mana,asi ini ndinoti usazodemba mukana uyu.Zvino ini un-
gandiudzawo kuti muri kurongei?" Vakadaro ndokusimudza
nharembozha yavo yaiva padivi pavo ndokutarisa nguva.
"Hapana tete," akapindura Monica akatarisa pasi.
"Uri kurevei Monica? Vakomana ava ukasavangwarira
unotambiswa wosiyiwa muzukuru. Ko wadii wa...?"
Vakagumisirwa panzira navaMakunge vainge vasvika.
"Ndati pane vanhu here pano? Kwamukirwa ndekupiko
mangwanani akadai?" vakadaro vaMakunge vachitaura vo-
ga.Mai Mavis naMonica vakambotarisana zviya zvekuti
todavira here kana kuti toregedza.
"Usazvipindura zvidzokere kumba kwazvo," Ava vaiva mai
Mavis vaiudza muzukuru wavo.
Mumba makamboita karunyararo kwekanguva vakamirira
kuti vaMakunge vadzokere kumba kwavo. Mai Mavis vakaz-
osimuka pavainge vakagara ndokubuda panze vachitarisa kuti
amai vavo vainge vaenda here.Vakabuda ndokutenderera
nechivanze. Pavakati vachidzokera nekuseri kwehozi vakabva
vasangana naVaMakunge avo vaitemha muboora waiva kuseri
kwehozi.
"Munondirega ndichitaura ndega imi murimo zvenyu?
Munoti ndinokupedzerai shuga yakabva kumuzukuru wenyu
here?" vakadaro VaMakunge vachiisa muboora muhombodo
yehapuroni yavainge vakapfeka.
"Handina kumbozvinzwa ini amai.Shuga yamunotaura
handiti ndiyo yakabva kwaZindoga uko here? Pane
pamunganwa tii yacho imi muchiramba mwana wavo here?"
vakadaro mai Mavis vachida kunzwa amai vavo.
"Ndisiyei zvangu mwana waDhehwa ini ndakatogeza
maoko nezvazvo. Ane nzeve dzekunzwa akanzwa," vakakota-
ma ndokunhonga mudonzvo wavo waiva pasi.
Monicawo akaona tete vanonoka kudzoka ndokuti regai
ndibude ndivatevere.Achingobuditsa rutsoka mumba akabva
asanganidzana maziso ake neaVaMakunge avo vaipfura
~ 26 ~
Abraham Makamera

nepamberi peimba yaainge achibuda vave kundogara paru-


ware.
"Newewo uripo zvako? Inga zvakakuomerai," vakadaro
VaMakunge ndokundogara pasi.
Monica akaramba akanyara ndokufamba achienda kun-
hanga kwake.Akasvikotora nharembozha yake ndokufonera
mudiwa wake Promise achimubvunza kuti ainge arara sei.
Apedzazvo akabuda ndokutora hata nemakavi zvaiva
pabakwa ave kunanga kugombo kundotora huni dzavainge
vasiya mazuva maviri ainge apfura.
"Ndichamboenda kugombo kwaRunesu kundotora huni
uko," akadaro Monica achitaura navatete vake.Akabva pamba
ndokutevedza gwara remombe.Munzira mwanasikana aifamba
achikanda hata mudenga oigama,oidzorera makare oigamazve
achingodaro. Akabuda mugwara remombe ndokutora nzira
yainanga kugombo. Zvino ainge ava makata. Aiti akati fambe
fambe ombomira achitura befu.Paakapedza makata akatsauka
ndokugara padombo raiva padivi penzira.
"Promise wachowo futi,muhu wandaudza kuti ndave
kutobva pamba nanhasi haasati asvika," akadaro achibuditsa
nharembozha yake kubva muhombodo yemujivha waainge
akapfeka,apa achitaura ega.
Akabaya baya nharembozha yake ndokuiisa pan-
zeve.Akachangodaro akanzwa kumashure kwake kuti chokoto.
Mwanasikana akati kwarakwashu, ndokuringa ringa mativi
ose, asi hapana chaakaona.Akadzokera paainge akagara
ndokuenderera mberi nezvaainge achiita.Hapana kumbopera
chinguva ndokubva anzwazve kuti chokoto,asi panguva iyi
zvainge zvava neruzha rwakawanda.
Monica akasimuka ndokutarisa kwaibva neruzha ndokuona
chinhu chichiti nzvee, chichihwanda nezidombo raiva chin-
hanho kubva paaiva.Akafamba ndokupinda munzira hana yava
kubika manhanga nekutya.Kufamba ainge oita semunhu ane
nhetemwa mumakumbo.Akakanda nhanho shanhu achibva
anzwa zimutsindo kuti dhii nechekumashure kwake. Mwana-
sikana akatendeuka ndokuona dombo rainge rakandwa

~ 27 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

paakacheuka, muviri wava kuita serutsanga ruri mumvura


nekudedera.
"Ah!Unondifendesa mhani iwe!" akadaro Monica achitura
befu.
"Uchifenda nei my love?" Uyu aiva Promise aitaura achi-
famba kuenda pana Monica.
"Ndange ndave kutya ufunge zvako. Une hutsinye iwe
kudai?" akadaro Monica achikanda pasi hata nemakavi
zvaainge akabata ndokumbundirana naPromise.
"Kutya chii nhai Monie?" akabvunza Promise achibata
Monica nemuchiuno.
"Ahh ndingasatya musango makadai...? Uri sei zvako?
Monica akasimudza musoro ndokutarisa Promise kumeso.
Monica aiva mupfupi zvishoma pana Promise.Vaviri ava
vakananaidzana ndokundogara padombo.Vakataura zvakasi-
yana siyana.
"Ndiri kudzokera kubasa mangwana..." akadaro Promise.
"Ahh Pro! So ndiri kusara nani? Ndiri kuda kuendawo ini,"
akadaro Monica achizembera pachipfuva chaPromise.
"Ndinodzoka ndokuona pahorodhi muna April" akadaro
achipuruzira Monica kumusana.Akamubata nechepashaya
ndokutanga kutsvodana.
Kumbawo mai Mavis vakasara vachitaura naamai
vavo.Hapana kupera chinguva vari vose vaMakunge ndokud-
zokera kumba kwavo.Mai Mavis vakatora hata yavo
ndokutevera muzukuru wavo kugombo.Chavainge vanyanya
kufambira kundopedzisa nyaya yavo nemuzukuru wavo ya-
vange vagumisirwa panzira navaMakunge. Vakapinda munzi-
ra ndiye rukova yambu ndokupinda mugwara
remombe.Vakabuda ndokukakata makata vokwira kugombo.
Vachingopedza makata ndiye dhuma dhuma nevazukuru
vavo avo vainge vakazvambarara padombo raiva pamberi pa-
vo.Mukadzi mukuru akambomira kwekanguva akayeva vaviri
ava,mushure ndokudududza achidzokera kumashure
ndokuhwanda nemuti wemuuyu waiva padivi penzira.
Monica naPromise vainge vari murima zvavo,
~ 28 ~
Abraham Makamera

vakazovhundutswa nedombo rainge rawira padivi pa-


vo.Vakasimuka ndokugara vachitarisa kuti angava ani ainge
apotsera dombo. Vakashamisika kuona mai Mavis vachibva
kuseri kwemuuyu. Mai Mavis vakagadaira vachienda paiva
nevazukuru wavo.
"Mamuka sei tete?" akadaro Promise achinyara.
"Achiri mangwanani here muzukuru? Zuva rava kutodoka
iri," vakapindura vachigara pasi.Monica ainge akangogara pa-
rutivi rwaPromise akangotsikitsira.
"Ndichauya kumba ndooneka tete," akadaro Promise an-
goona paita runyararo.
" Zvakanakai muzukuru,regai ndisunge huni dzangu apo,"
vakasimuka ndokufamba vachienda paiva memurwi wehuni.
Monica akasimukawo ndokuvatevera. Akanhonga hata yake
pamwe nemakavi zvaainge adonhedza pasi.
"Ko kuzonyarara asi hamusi kuwirirana here?"
"Kwete tete,kungonyarara zvangu," akadaro achisunga
svinga rake rehuni.Vapedza Promise akauya ndokutakura mu-
tanda wehuni ndokubva vaenda kumba.

~ 29 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 6

M azuva akafamba ndokuita vhiki.Mavhiki akadunga-


midzana ndokuita mwedzi. Mwedzi wakamhanya
ndiye bhaa wapera.Ndizvo zvimwe chetezvo naKukadzi.
Monica akamuka mangwanani emusi weChipiri muviri
uchirwadza.Akabuda munhanga make achimhanya akabata
muromo ndokuenda kunze kwechivanze.Akasvikoti gwadag-
wa ndokutanga kurutsa.Tete vake mai Mavis vakabuda
muimba yavo yekurara vachimhanya mushure mekunge
vanzwa muzukuru wavo achigomera.Vakakanda nhanho
vachienda paaiva ndokusvikomira vakamutarisa.
"Zvaita seiko mainini?" vakadaro vakabata chiuno.
"Ndangomuka ndichisvotwa,ndipo pandazongotanga ku-
rutsa," akadaro Monica mushure mekunge ageza muromo.Mai
Mavis vakambomira semunhu aifunga zvakadzama. Vakazo-
tanga kufamba vave kuenda kuimba yekubikira, Monicawo
ave kuenda kunhanga kwake.Haana kupedza nguva ariko
ndokubuda ava kugadzirira kuti aende kuchikoro.Akatora
bhegi rake remabhuku ndokuonekana navatete vake.Kusina
kure kwaamboenda, mwanasikana akanzwa mudumbu
kumonya. Pasina chinguva chikafu chose chaange adya
chainge chatobuda.Akambogara pachitsiga chaiva padivi pen-
zira,akatsikitsira.Zvainge zvotiwo nedzungu rainge
romuvhiringa,ainge ongoona rima rega rega.
Akazoti pembenu pave paye,ndokutanga kufamba achidzo-
kera kumba. Achindosvika kumba akawana vatete vake mai
Mavis vakagara zvavo muimba yekubikira vachigocha chi-
bage.
"Asi pane chamakanganwa here mainini zvamadzoka
kudai?" vakabvunza mai Mavis vaona muzukuru wavo adzoka
izvo zvavainge vasina kutarisira.

~ 30 ~
Abraham Makamera

"Kwete tete. Ndiri kurwadziwa ini.Ndangoti ndichiyambu-


ka rukova ndokubva ndatanga kurutsa zvakare apa dzungu
rabva randigarawo zvekuti ndatomboona rima chairo," aka-
daro Monica achigara pasi.
"Ko chibvisai hembe dzekuchikorozve nhai."
Monica akasimuka asina chaapindura ndokundochinja
mbatya dzekuchikoro.Akapfeka dhirezi reruvara rwedenga
ndokupfeka juzi pamusoro.Akadzokera kuimba yekubikira
ndokusvikogara pasi.
"Monica chii chiri kuiitika muzukuru? Ndiudze usandivan-
zira," vakadaro mai Mavis vachishandurudza chibage chaiva
mumoto.Semunhu mukuru vainge vatoona kuti muzukuru
wavo ainge atsika.Monicawo semunhu ainge asati ambosan-
gana nazvo chizvarirwe chake aingoti zvimwe urwere hwaida
kumubata nyamba kudya nyemba nevauya dzinowana
muzvimbiri. Hwaiva utsi zvahwo panguva iyi.
"Hapana tete.Ndiri kungosvotwa nekurutsa.Hapana chiri
kumbonyanya kurwadza," akapindura Monica achitora chi-
bage murusero rwaiva padyo naye, ndokubva achikanda
nemazhizha acho mumoto.
"Chave chiizve mainini? Madii maita zvekugocha zvaka-
naka?"
"Ndiri kuda ichi chinenge chichiita sechakabikwa cha-
gocherwa mumashizha acho," akadaro Monica achiseka zvake.
"Ndizvo zvazvinoita mainini.Zvino zvamakurumidza kudai
ndinochiona gore rino."
"Murikurevei nhai ...?" Haana kukwanisa kupedza kutau-
ra.Akasimuka achimhanya apa ruoko rwerudyi rwakabata
muromo.Akaenda kunze kwechivanze ndokusvikochonjomara
achirutsa.Mai Mavis vakasimuka pavainge vakagara
ndokumira pamusuwo.Vakaona muzukuru wavo ari kunze
kwemusha ndokubva vanyemwerera pamwe chete nekugutsu-
rira musoro. Zvavaigarochemera zvainge zvaita.Ko pane
chainge chichatadzisa Monica kuita muroora wavaZindoga
here ipo painzi pamugodhi wemari? Vainge vave kutozviona
samambokadzi chaiye. Kana iri mari vainge vave kutoona se-

~ 31 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vava nedura rayo chairo. Ko vaizivei zvavo kuti vaifarira


n'anga neinobata amai? Vakadududza ndokundogara
panzvimbo pavo.
Monica akasimuka ndokudzokera muimba yekubikira
mushure mekunge apedza kugeza. Akawana chibage chake
chaainge asiya chiri mumoto chaburwa navatete vake.
"Chibage chako chiri murusero umo."
"Chaibva here tete?" akabvunza Monica achitora chibage
kubva murusero. Akavhura mashizha echibage ndokuruma
tsanga mbiri ndokuchidzorera murusero.
"Ko zvaita seizve nhai muzukuru?"
"Ndidamburireiwo chamuri kudya icho," akadaro Monica
achishereketa.Akadamburirwa chibage ndokubva osimuka
kuenda panze.Akaenda kundogara paruware achidziya
mushana.Kupisa kwese kwaiita zuva musi uyu haana kana
kumbokunzwa.
"Ko nhasi hauna kuenda kuchikoro here Monica?" Ava
vaiva VaMakunge vaitaura vachiswedera pedyo nepaiva
nemuzukuru wavo.Monica akasimudza musoro ndokutarisa
ambuya vake nemaziso aiti, “Chimbondisiyai”.VaMakunge
vakazviona kuti muzukuru wavo pane chiri kumunetsa
ndokubva vagara pasi kuti vanyatsokukurukura nemwana
wemwana wavo.Vachangogara, Monica akabva ati nyadzu,
ndokuenda kuimba yekubikira.
"Kwakanaka here?" vakabvunza mai Mavis vaona muzuku-
ru wavo apinda mumba achifambisa.
"Ndimbuya avo," akapindura Monica achigara pasi. Pa-
karepo vaMakunge vakabva vapinda mumba ndokukwazisana
nemwana wavo. Vakatora nhekwe yavo yefodya yainge
yakasungirirwa pachichari chavainge vakagarira ndokutanga
kuputa.Vakati kweee kwee ndiye hotsi hotsi zvimisodzi
ndokumboti chururu zvichiyerera nematama ayo ainge ad-
zokera mukati nekukura.
"Ko aitwa seiko muzukuru wangu nhai?"
"Angomuka achiti ari kusvotwa achibva azotanga kurut-
sa.Atombobuda achiti ari kuenda kuchikoro ndikazoona ad-
~ 32 ~
Abraham Makamera

zoka pasina chinguva achiti abatwa nedzungu munzira,"


vakapindura mai Mavis vachibura hari yenyimo kubva pacho-
to.Monica ainge akangotsikitsira pasi achibaya baya nhar-
embozha yake.
"Saka ndizvo zvawatadza kutaura here Monica?"
Vakapukuta zvimisodzi zvaiva pamatama ndokudzorera
nhekwe pakare.
Monica akangogutsurira musoro ndokuenderera mberi
nezvaainge achiita.
"Zvimwe imarariya iri kuda kumubata," VaMakunge
vakarova zvavo imbwa vakaviga mupini.
"Ndatombofunga kudaro. Zvino iye ari kuti hapana pari
kurwadza," vakadaro mai Mavis vachibvumirana naamai vavo.
"Zvino iriko mazuvano yakasimbaka muzukuru.Zvinoda
kutokurumidza kumhanya kuchipatara uone vanachiremba
zvisati zvadzimba."
"Zvaamai vasikana.Angaenda kuchipatara nekanhu kadiki
diki ikaka?" vakadaro mai Mavis vachibata amai vavo muro-
mo.
"Ah, marariya unoita zvekutamba nayo iwe.Handiti ndiyo
yange yaendesa hanzvadzi yako baba Jerry here? Ukamuka
zvisati zvachinja uende kuchipatara muzukuru."
Monica akagutsurira musoro achibvumira zvainge
zvataurwa naVaMakunge.
"Haiwawo! Kuchipatara kwechii ipapo? Zvinopera zvoga
izvi," vakadaro mai Mavis vaona amai vavo vongoramba
vachitsimbirira nyaya yekuchipatara. Ko vaikufarira sei ivo
vaiziva kuti nhumbu yemuzukuru wavo yaizokurumidza ku-
buda pachena.
"Ini zvepano zvandikona ini.Unoda mwana afire mumba
nezvinhu zvinorapika here?"
"Imi amai, tozongoona kuti anenge amuka sei mangwana
acho. Ko kana akamuka apora muchingoti hee kuchipatara hee
kuzofa?" vakadaro vakwidza inzwi zvino.
VaMakunge vakazviona kuti pavhundukwa chati kwatara
apa, ndokubva vaziva kuti pane aita katurike. Vakangoti

~ 33 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

nechemumoyo "Rina manyanga pane parakamboputirwa


here?" Vakaoneka zvavo ndokuenda kumba kwavo.
Monica akasara ndokupinda munhanga make ndiye mum-
agumbezi gude gude. Hope dzakabva dzamubata. Akazoto-
peputswa navatete vake zuva rorova nhongonya.Akazama
kudya ndokunzwa chikafu chichiramba kudzika.
"Idyai mainini munofa nenzara."
"Hazvisi kuita tete," akapindura Monica achivhara ndiro
yaiva nesadza.
"Ndizvo zvazvinoita mainini. Zvamadai matokura." Monica
akamboramba akanyarara achidzeya mashoko ainge ataurwa
navatete vake.Chainge chava kumunetsa ndechekuti mai Ma-
vis vainge vari kungotenderera panyaya yavo.
"Nemhaka yei tete?"
"Ah, unoti pane zvichachinja here muzukuru? Changosara
kuti muzukuru wavaZindoga azoona zuva chete."
Monica akamboramba akavati ndee semunhu abatwa
nebuka. Akamboti zvimwe ainge aita manzwira ndokuti,"
Mataura here tete?"
"Muri kufungeiko mainini? Ndati vaZindoga vachasvetuka
vakatyoka makumbo gore rino.Usatamba nekuva nemuzuku-
ru. Neniwo ndichasvuuka muromo nekuridza mhu-
ruru.Mazviita mbereka! Mazvita makwiramiti!" vakapedzisira
nekubonda maoko.Monica akangoti kanha nazvo ndokushaya
neremuromo.
"Ko matsamweiko nhai vamaNcube? Asi zvakaitika mus-
ingatarisire here?" vakabvunza muzukuru wavo vangoona
chiso chake chasanduka.
"Chii chakaitika nhai tete?"
"Ko tiri kumbotaura nezvei nhai Monica? Handiti inyaya
yemuzukuru wavaZindoga wawakatakura uyu?" vakadaro
vachinhongedza padumbu paMonica.
Manzwi aya akaita semunzwa achipinda munzeve dzaMon-
ica. Mwanasikana akashama kuti ataure manzwi ndokuramba
kubuda. Akadzungudza musoro, misodzi ndokutanga kuyere-
ra nematama. Akasimuka kubva paainge akagara ndokuzviro-
~ 34 ~
Abraham Makamera

va rova pamhanza achifamba famba neimba yose.


"Gara pasi muzukuru."
Monica akatura befu semunhu ange achidzingirirwa
ndokugara pasi achiita zvekuzvijata.
"Monica dzikamisa hana muzukuru. Ndange ndakazviona
zvangu pave nemazuva asi ndakati handingakumhanyire.
Usamhanyira kuti zvizivikanwe. Unoiziva chembere iya ika-
zvinzwa."
"Tete, ndirikutya ini," akadaro achipukuta misodzi yaiva
pamatama.
"Usatya muzukuru. Tichange tichibatsirana. Zvizhinji siira
ini sezvataisingoita."
"Pakanakai tete," akadaro ndokusimuka ave kuenda kun-
hanga kwake. Akasvikopinda mumagumbeze akazendama
nemadziro, pfungwa ndokuenda kubasa. Akazongobatirwa
nehope ari mubishi rekuzvibvunza mibvunzo achizvipindura.
Imwewo ndiyo yaishaya mhinduro.

~ 35 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 7

P akapera masvondo matanhatu mushure mekunge


Monica aziva kuti ainge azvitakura.Akamuka
mangwanani emusi weChitatu ndokugadzirira kuti aende ku-
chikoro.Akabuda munhanga make ndokuenda kundogeza.
Mushure akadzokera munhanga, ndokutora bande redhirezi
ndokusunga dumbu rake. Akapfeka hembe yekuchikoro pamu-
soro, ndokubuda oonekana navatete vake ave kuenda ku-
chikoro.
Akapinda munzira ndiye mugura nyengu. Semunhu ainge
anonoka aiti akambonzonza, ombofamba.Akabuda mugura
ndokubatana nevamwe vana vechikoro vainge vanono-
kawo.Vakambomira vakaita kachitutu vari chinhambwe kubva
pamutaro apo painge pakamira vamwe vana vose vechikoro
avo vainge vakateerera mukuru wechikoro, VaManesu vachi-
taura.VaManesu vakazoti chikwata chevana vainge vanonoka
vauye kuzomira kumberi.
Monica akambosara akamira akahwanda nemadziro
emudhuri waiva padyo nepamutaro apa.
"Mauya mose here?" vakadaro vaManesu.
Vana vechikoro vakambotarisana vachida kuona kuti pane
ange asipo here.
"Ndipindurei mhani imi,munoti kunonoka kunoshamisira
here?" vakaenderera mberi vaona vana vechikoro vangoramba
vakanyarara.
"No sir," akapindura mumwe wevana ava.
"Enda unotora vasara," vakadaro vaManesu.
Zvaitaurwa zvose izvi Monica ainge achizvinzwa. Hana
yake yainge yava kurova.Akambotonona achikwenya kwenya
musoro.
"Monica zvanzi huya kuno nemukuru," akadaro Gladys
ndokubva atendeuka ave kudzokera.

~ 36 ~
Abraham Makamera

Monica akasimuka kubva paainge akatonona ndokufamba


achienda pamutaro.Akasvika ndokungopinda munevamwe
chinyararire.
"Ko amai kuzosara makahwanda hamuchadi chikoro here?"
vakabvunza vaManesu vakatarisa Monica.
"No sir," akapindura Monica akatsikitsira.
VaManesu vakazoti chimwe chikwata chevana vainge van-
onoka chipinde mune vamwe, Monica ndokumbosara akamira
ega.
"Nhai amai chii chiri kunetsa? Makatanga riini
zvekunonoka chikoro?" VaManesu vainge vari mwana
wehanzvadzi yava Bvudzijena.Monica akaramba akanyarara
achishaya zvekupindura.Vamwe vana vechikoro vose vain-
goita mahon'era.Vamwe ndivo vaibvumirana nezvainge
zvichitaurwa nemukuru wechikoro, vamwewo ndivo vaiti an-
openga kubvunza mibvunzo yaaibvunza iyi.Zvechokwadiwo
Monica aizivikanwa nekukurumidza kuchikoro.
"Chipindai mune vamwe amai,asi tichibva pano moenda
kuhofisi kwaSenior Lady. Zvanzikwa handiti?" vakadaro
vaManesu vava kufamba vachienda kuhofisi yavo.Monica
akafambawo achipinda mune vamwe
chinyararire.Akasvikomira akatsikitsira semunhu ari kunama-
ta. Pfungwa dzake dzainge dzave kutenderera achifunga
zvakawanda.Iyo mibvunzo akazvibvunza inogona kupfuura
gumi chaiyo.Zvakazotaurwa nemudzidzisi aiva nejana musi
uyu hapana kana chimwe chaakanzwa.Akazongoona vana
vechikoro vave kufamba vamwe nevamwe vakananga ku-
makamuri avo avaidzidzira.
Akatakura bhegi rake remabhuku raainge atsveta pasi
ndokuteveravo vamwe.Akapinda mukamuri yaaidzidzira
ndokundogara panzvimbo yake.Akapeta maoko ari pamusoro
petafura ndokuisa dama rake pamusoro akatarisa mudhuri
wemukamuri umu.
Semunhu ainge ave nemazuva asinganyatsowana hope
dzakanaka, hazvina kumbomutorera nguva, ainge otorota
zvake. Mwanasikana akafoza zvaasati amboita,idzo ngonono
~ 37 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ungati idatya chairo.Vamwe vana vechikoro vakamutarisa


ndokungoomawo mate mumukanwa vakadaro.Vainge vasati
vambosangana nezvakadaro kubva zvavakatanga kuzivana
naMonica.Vamwe vavo vakambofunga kumumutsa asi vaya
veutsinye vakavadzivisa vachiitira kuti mudzidzisi apinde
Monica akarara.
Hapana kumboperawo nguva, VaMukamba,avo vaiva mu-
rairidzi wegwaro iri vachibva vapinda.Vana vose vakabva
vakanda maziso avo kuna Monica vachida kuona kuti ainge
amuka here,asi Monica semunhu ainge ari kutsi kwehope
akaramba akarara.VaMukamba vakatsveta mabhuku avainge
vakabata patafura ndokutanga kufamba vachienda paiva na-
Monica.Vakasvikomira ndokurova rova patafura yainge irere
Monica.Monica akati vhai achivhunduka.Akasimudza musoro
ndokuona mudzidzisi akamira akamutarisa.Akapuka mutsetse
wembovha waiva kudama rekurudyi ndokutsikitsira.
"Wazoenda here here kwaSenior Lady kwawanzi usvike
nhai zimhandara?" vakadaro vaMukamba vaona kuti painge
paine zvirikunetsa Monica.
"No sir,ndazvikanganwa," akapindura achisimuka kubva
paainge akagara.
"Ok, handei tose," vakadaro vaMukamba vachitungamirira
Monica.
Mwanasikana akatevera mumashure achifamba zvishoma
zvishoma.Akabuda mukamuri iyi ndokutevera mudzidzisi
wake. Vakasvika pahofisi yamai Zirenje vanova ivo aiva
mukuru wevakadzi pachikoro apa.VaMukamba vakagogodza
pamusowo ndokunzi vapinde.Vakapinda ndokumira kuseri
kwegoni.
"Ko pindaka iwe!" vakashevedzera vaMukamba vachifunga
kuti Monica ainge akamira panze.
"Wamuri kuti apinde ndianiko?" vakabvunza mai Zirenje
avo vainge vakagara vakatarisa nepamusuwo.
"NdiMonica Bvudzijena,uya anzi agosvika kuno na-
VaManesu," vakadaro vachibva kuseri kwegoni kwavainge
vakamira.
~ 38 ~
Abraham Makamera

Vakabuda panze ndokuona pasina munhu.Vakakanda


nhanho vachienda kugwaro ravaidzidzisa ndokusvikowana
Monica asiko.Vakaenda paaigara ndokuwana bhegi rake rem-
abhuku risisipo.
"Aenda kupi Monica?" vakabvunza vachiyuwira nehasha.
"Abuda manje manje," akapindura mumwe musikana aiga-
ra padyo naMonica mugwaro iri.
Monica zvaakabuda mukamuri yaaidzidzira akaona
vaMukamba vachibuda muhofisi yavainge vapinda achibva
aziva kuti vainge vave kutsvaga iye. Akafambisa
ndokunzvenga nemudhuri wegwaro rekutanga pachikoro
apa.Akambomira akahwanda nemadziro achiona mafambiro
aiita vaMukamba.Paakaona vapinda mukamuri yaaidzira
akabva atanga kufambisa achienda kugedhe.VaMukamba
vakabuda ndokuona Monica ave kutobuda gedhe repachikoro
apa.Murume mukuru akanzonza chinyararire.
"Uri kuenda kupi iwe?" vakadaro vachisvika paiva naMon-
ica.Mwanasikana akatendeuka zvekuvhunduka anzwa inzwi
remudzidzisi wake.Akamboramba akanyarara manzwi achi-
ramba kubuda.
"Ndipindure Monica.Ndati uri kuenda kupi?"
"Kumba Sir. I am not feeling well," akadaro Monica ava
kubvunda nekutya.
"Ok, ngatidzokerei muchikoro tindoona mai Zirenje
wozoenda zvako.Vanogona kutobva vakupa mumwe munhu
anokuperekedza kuchipatara uchibva pano," vakadaro
vaMukamba ndokumirira Monica kuti atungamire.Munhu
wavo vainyatsomuziva kuti vakamupa mukana havaizom-
bomubata nekuti zveushamwari nemhepo aizvinzwisisawo.
Vaviri ava vakadungamidza ndokunanga kuhofisi yavaZirenje.
Vachindosvika Monica ainge ave kuita semunhu ange
achimhanya.Mwanasikana ainge atotesa mbatya nekudikiti-
ra.Hana yainge isisina kugadzikana.Akatanga kuona sekuti
varairidzi vose vainge vave kuziva kuti ainge akazvitaku-
ra.Akasvika ndokumira kuseri kwegoni akabata bhegi rake
remabhuku.
~ 39 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Gara pasi mwananangu," vakadaro mai Zirenje vachitaura


naMonica.Vakaenderera mberi voti, "Thank you Mr Mukamba,
ndichakuvigirai mwana wenyu kana ndapedza naye." Vaka-
kanda chinyoreso chavainge vakabata patafura ndokusimuka
vachivhara musiwo uyo wainge wasiwa navaMukamba
wakavhurika.Vakadzoka ndokugara pasi.Monica akange
akangotsikitsira pasi.Mwana akademba kuti dai pasi pango-
vhurika zvapo angonyangarika zvake nekutya kwaainge ave
kuita.
"Monica!" vakadaro mai Zirenje neizwi rakanyorovera.
"Madam."
"Aiwa usatya zvako.Ndinoda utaurire pasi, madziro
anonzwa aya.Tiri kunzwana?" Vakadaro vaona kuti Monica
ainge asina kugadzikana.
Monica akadavira nekugutsurira musoro.
"Zvakanaka. Chii chiri kunetsa?"
"Hapana Madam"
"Unogoti hapana sei iwe wasanduka kudai Monica? Muku-
ru wechikoro,varairidzi vose kusanganisira neni tiri kushun-
gurudzika nezvauri kuita. Haasiwo mastandards ako ataiziva
isu.Ndirikunyepa here?"
"N-o-o Ma-madam," Monica akapindura semunhu asina
chokwadi nezvaaitaura.
"Saka chii chiri kunetsa?"
Monica akambotora kanguva asati apindura.Akambofunga
kutaura chokwadi asi dzimwe pfungwa dzakamuti, "Wave
kupisira apa".
"Hazvichaitike zvakare Madam," akadaro achishereketa.
"Ko zvakamboitikirei? Ndipo pandiri kuda kungoziva ini,"
vakadaro mai Zirenje vachinyemwerera.
Monica akaramba akavati ndee ivo ndokuramba vachiny-
emwerera.Mubvunzo wavainge vabvunza ainge ari makata
asina ukwiriko chaiwo kuna Monica.
"Zvechii Madam?" akabvunza Monica hana ichiita
seichabuda muchipfuva nekurova.
"Kurovha,kunonoka, kurara muclass, perfomance yako ndi-
~ 40 ~
Abraham Makamera

cho chinhu chikuru.Yadzikira zvisingaite Monica."


Monica akatura befu semunhu ange akatsiga zvaire-
ma.Akanyemwerera aona kuti amaiZirenje vainge vatoriwo
murima.
"Inyaya yeschool fees Madam.Ambuya vakati handichakwa-
nise kubhadhara next term uye mari yeexam haipo," akadaro
achinyepa zvake.
"Ko wakaregerei kuuya kuzotaura neni?" vakambomira
zvishoma ndokuenderera mberi voti,"Tichaita musangano to-
kutsvagirai mari yekuti munyore neye fees,Iwe naBrighton
Nhamo."
Monica akanyemwerera kuratidza kufarira pfungwa iyi.
Mushure ndokuzoti,"Thank you madam," achiombera
maoko."Madam, handisi kunzwa zvakanaka.Ndiri kukumbira
kusvika kuchipatara," akaenderera mberi achirereka musoro.
"Chii chiri kurwadzwa?" vakabvunza mai Zirenje
vachishushikana.
"Ndiri kutemwa nemusoro zvisingaite."
"Usanyanya kufunga zvakawanda Monica.Zvino unoenda
wega here kana ndokupa anokuperekedza?"
"Ndinoenda ndega Madam," akadaro achiziva zvake kuti
hakuna kuchipatara kwaaimboenda.
"Mira ndikunyorere tsamba uende.Kana wapedzera woen-
da kumba toonana mangwana," vakadaro ndokunyora tsamba
yaizoenda naMonica kuchipatara.Vakatambidza Monica
tsamba iya achibva asimuka ave kubuda.
"Thank you Madam," akadaro achivhara musuwo wehofisi
iyi. Akaenda kukamuri yaaidzidzira ndokundoonekana
nemudzidzisi wake pamwe chete nevaaidzidza navo. Musi uyu
ndiwo wakava wekupedzisira kuna Monica kuva mudzidzi pa-
chikoro apa.

~ 41 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 8

R inamanyanga hariputirwe mumushunje chokwa-


di.Monica kubva zvaasiya chikoro, upenyu hwake
hwainge hwangova hwekuswera mumba. Aimuka mangwa-
nani ogeza semunhu aigadzirira kuenda kuchikoro. Aim-
bombeya mbeya nechivanze, achimboti akapinda muimba
yekubikira, obudamo opinda muhozi obudazve. Waizomuona
zvino ananga kunhanga kwake osvikozvivharira. Kudya aitoi-
ta zvekuvigirwa navatete vake, Mai Mavis.
Painge papera masvondo maviri mushure mekunge Monica
apedzisira kutsika chivanze chepaChipwere High School.
Akamuka mangwanani emusi weChina zuva ratokwira.
Akabuda munhanga make ndokundomira akazendama
nemadziro ehozi achidziya mushana.Akambotora chinguva
aripo ndokuzofamba ave kupinda muimba yekubikira. Aka-
wana vatete vake naambuya vake vakagara zvavo vachiku-
rukura.Akakwazisana navo ndokugara pasi.
"Ko hausi kuenda kuchikoro here, zvawanonoka kumuka
kudai?" vakabvunza VaMakunge vachitwasanura makumbo
avo. Chembere yakamboridza kamhere nekuda kwemakumbo
ayo ainge ava nenguva achivashungurudza.
"Handiti iholiday here ambuya?" akadaro Monica.
"Ko vamwe varikuenda wani.Ndinongoona vana ve-
paMupositori apa vachingoenda zuva nezuva wani?" yakadaro
chembere ndokubudisa nhekwe yayo yefodya.Yakagugudzira
fodya muchanza ndokuona kuti nhekwe yainge yazara mhepo.
"Hanganwa dzakandiwandirawo ini. Ndagadzira fodya
yangu ndikati ndozoisa munekwe ndava kuuya kuno, zvino
ndazozvikanganwa," vakadaro vachivhara nhekwe yavo.
"Kwava kukura ambuya,munoti madya makore mashoma
here?" akadaro Monica achizama kutiza nyaya yainge
yatangwa naVaMakunge.

~ 42 ~
Abraham Makamera

"Hongu kukura ndakura muzukuru.Zvino imi nenharo


dzamuinadzo munosvika here patiri pano?" vakadaro vachise-
ka zvavo.
"Nharo dzeizve amai, ini ndave kutosvika wani?" vakadaro
mai Mavis vachigamha amai vavo.
"Hehede seka zvako mwana wemuera Moyo.Uchisvikepi
ipapa? Unoti ini ndinenge ndakamira here?"
"Handizokubatei zvanguka, asi pamuri apa ndinosvika,"
vakadaro mai Mavis,ndokuzochinja nyaya.Vakambotaura
zvakasiyana siyana, VaMakunge ndokuzosimuka vonanga
kumba kwavo.
"Ndave kuenda kumba kwangu ini,ndinowana vana vako
vafa nenzara kumba uko," vakadaro VaMakunge vachireva
vana veumwe mwanasikana wavo vavaigara navo.
"Haiwawo,kufa nenzara kuti havagoni kubika here? Idzo
mhandara dziya," vakadaro mai Mavis vachisimuka kuti
vabuditse amai vavo chivanze.
"Aiwa gara zvako mwanangu ubikire varwere ava," vaka-
daro VaMakunge vave kubuda mumba umu.
Mai Mavis vakatarisana nemuzukuru wavo ndokuzodzun-
gudza musoro vave kugara pasi.
" Ko iyewo Promise arikuuya riini?Vamwe vose zvav-
akauya wani." Ava vaiva mai Mavis vaibvunza muzukuru wa-
vo.
"Handichatozivawo ini tete,zvimwe haachauye."
"Hauzive ani Monica? Usada kundiitira mashura pano.
Hamusi kutaura mose here?" vakadaro chiso chasanduka.
"Zvamava kundikwidzira inzwi ndatadzeiko nhai tete?"
"Ndati uri kumbotaura naye here?Pindura zvandabvunza,"
vakadaro ndokugofa gofa moto neshungu.
"Hongu tete, aiti ari kusvika nhasi,asi aingochema nekuti
mabhazi arikuzara zvisingaite." Musoro wainge warerekwa
zvino.
"Iye anenge akaomerawo murume wako uyu.Kutadza kana
kutenga mota nemari yavainayo.Tomboti yake haisi kukwana,
ko inobva kuAmerica uko.Mufonere unzwe kuti ari kuuya

~ 43 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

here?" Monica akasimuka ndokubuda ave kunanga kunhanga


kwake.Akasvikotora nharembozha yake ndokudzokera kuimba
yekubikira.Akasvikogara pasi ndokubaya baya harembozha
yake.
"Handina airtime tete," akadaro Monica achinoza.
"Unotonoza zvako Monica?Unoita zvekutamba zvako.
Pauchatorerwa murume ndipo pauchapembenuka zvako.Tora
nhare yangu iyo iri apo umufonere," vakadaro vachitendeka
paiva nenharembozha yavo.Monica akasvasvavira ndokutora
nharembozva yavatete vake.Akaitinya tinya ndokuisa panzeve
kwekanguva. Akaibvisa ndokuti," Irikuramba phone yake.
Zvimwe ari pasina masaisai."
"Masaisai aita seizve?Tsvee kufunga zvimwe.Wanzwa
zvataurwa nechembere yabva muno here?"
"Hongu tete."
"Zvinorevei zvataurwa naambuya vako?" vakadaro vachida
kunzwa pfungwa dzemuzukuru wavo.
"Vange vasingareveri kurwara kwandakamboita here te-
te?"
"Kurwara kupiko iwe?Handiti ndiyo nhumbu iyi yaikuitisa
zvose zviya.Nyaya iripo apa ndeiyi;ambuya vako vakazviona
kana kuti vave kuzviziva kuti wakazvitakura.Zvino isu kuti
tibudirire apa panoda kukurumidza kuronga. Tikanonoka in-
odzva kwedu.Anosara achikwangwaya ndiwe nemwana wa-
wakatakura uyu."
"Ndiri kuzvinzwa tete," akadaro ave kutya.
"Ini ndange ndafunga kuti panongosvikira Promise iwe
wobva waenda. Pakadii?"
Monica akavhunduka zvekuratidza kusafarira pfungwa
yainge yataurwa navatete vake.Mai Mavis vakazviona kuti
muzukuru waivo ainge asina kufarira zvavainge vataura
ndokuti,"Mainini kana mune dzimwe pfungwa taurai tinzwe-
wo mafungire enyu"
"Tete, tadii tatanga tanzwa iye kuti anoti chii? Tinogona
kumhanya iye..."
"Iwe! Iwe! Iwe! Haunzwe wakaita sei? Nyaya yandiri
~ 44 ~
Abraham Makamera

kutaura nezvayo pano hausi kuinzwa kana? Unofunga kuti


Baba vaJerry vakazvinzwa panogarika pano.Handiti unotonzi
uri pfambi vaZindoga vowanawo pekunzvenga napo voti haasi
muzukuru wangu? Unozoita sei kana zvadaro?"
Monica akadzeya mashoko aya ndokuona hupenyu
huchitanga kumuomera.Aiti akafunga museve waibuda neku-
na baba Jerry aibva anzwa muviri wese kupisa. Mwana aka-
tanga kudikitira. Muviri wainge wave kuita sewadirwa mvura.
Akasimuka ndokubuda panze ombofurwa nemhepo. Akatanga
kufunga nezvekumisa imba ndokuona zvichimuremera
kuzvigamuchira. Akamira muberere reimba misodzi
ndokutanga kuchururuka.
"Ko zvavaimboti tinenge tichibatsirana,ndiko kubatsirana
kwacho here uku?" akadaro achitaura oga.Mubvunzo uyu
wakamutemesa musoro.Akatanga kufunga rairo dzaambuya
vake asi zvange zvisingachabatsire kurutsa muto wegudo iye
ange atozvimbirwa nenyama yacho kare.
"Ko uri kuchemei muzukuru?" vakadaro mai Mavis vawana
muzukuru wavo ingori misodzi pamatama.
"Tete zviri nane ndife zvangu ini,ndinoita sei nenhumbu
iyi?" akadaro misodzi ichiwedzera kuyerera.
"Kufa hakusi kunopedza zvose muzukuru.Huya mumba ti-
taure," vakafamba vachipinda mumba muzukuru wavo ari
kumashure.

VaMakunge zvavakaenda kumba kwavo havana kun-


dokwanisa kana kudya chaiko. Chembere yakabikira vazukuru
vayo chekudya ndokubva yapinda munzira yave kudzokera
kumba kwamMai Mavis.Yakasvikowana mai Mavis vachan-
gopinda mumba naMonica. Monicawo misodzi yainge
ichakanyorova pamatama zvekuti VaMakunge vakazviona.
Panguva iyi vainge vauya nenhekwe yavo yakaza-
ra.Vakaivhomhora nokutsokodzera fodya mumhino.Chembere
yakahotsira ndokushereketa shereketa semunhu ari kunzwa
mudumbu.
"Ko kuzenge uri kuchema zvaita seiko Monica?" vakadaro

~ 45 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

VaMakunge vakatarisa muzukuru wavo.


"Hapana ambuya," akapindura achipukuta misodzi pa-
matama.
“Pane chekuchavanza here ipapa muzukuru? Ungan-
gochema pasina zvaitika zvinoita here?” Monica akaramba
akanyarara, kwete nekuti aishaya zvekupindura asi ainge asina
kunzwa zvainge zvabvunzwa naVaMakunge. Ainge ari mu-
bishi rekufunga zvekuita nenhumbu yaPromise.
"Monica! Ambuya vari kutaura newe ava," vakadaro amai
Mavis vachizungunutsa muzukuru wavo.
Monica akavhunduka ndokukusimuka paainge akaga-
ra.Akafamba kuti abude ndokubva ashevedzwa naambuya
vake.Akadzoka ndokugara pasi chinyararire.
"Nhai vaNcube ndizvo zvamakazoita izvi?" vakabvunza
VaMakunge.
"Zvechiizve amai?" vakadaira mai Mavis vasingazivi kuti
vainge vazvidenhera mago.
"Ratidzai! Ah...hameno kuti..." Chembere yakabva yatanga
kuchema yakatsikitsira.Pakamboita kanguva paine runyararo.
VaMakunge vakapukuta misodzi ndokuisimudzira yavainge
vafambira."Monica mwana wemwana wangu wandirwadzisa.
Ndaiti zvimwe ndichawanawo mufaro zvino zvaramba
apa.Newewo Ratidzai une moyo wakaoma.Zvino uchazvifam-
bisa sei zvazvadai. Unotorara hope dzinobata uchiti mwana
ari kumurume here ipapa?" vakadaro VaMakunge vachirati-
dza kushungurudzika.
"Amai hapana zvitsva apa.Ndafara kuti makazviona kuti
muzukuru azvitakura.Ndiyeyu muzukuru wavaZindoga
akatakurwa apa."
"Inga zvakaoma,madarireiko Musikavanhu kurega mwana
achiita zvakadai?" vakadaro VaMakunge misodzi yajenga
mumaziso zvino.
"Munozvinetsereiko amai? Baba vemwana varipo vanon-
gotorana navadzimai vavo..."
Monica akagurira vatete vake oti, "Ini handide ini am-
buya."
~ 46 ~
Abraham Makamera

"Kana usingadi bvaa zvakanaka muzukuru.Ini pano hand-


izvikwanise zvekuchengeta mhuri yemumwe munhu iye
muridzi ari mupenyu. Ndaramba mwana waBvudzijena,"
vakadaro Mai Mavis vachidzungudza musoro.Monica
akarohwa nehana paakanzwa mashoko aya zvekuti akatom-
bofenda ndokuzoti pembenu pave pave.
"Hazvinzwaro Ratidzai. Ngatigarei pasi tione kuti to-
batsirana sei?Mwana haaudzwe mashoko awataura akaita
zvaakaita izvi."
"Zvakanakai amai," vakadaro mai Mavis vachinyara nyara.
"Ndakambozvitaura izvi. Maiti zvinosvika kupi? Handiti
maingoti kanopenga kachembere aka," vakadaro vachisimuka
kubva pavainge vakagara.
"Imi amai, pane chakaipa here ipapa? Tinongovavigira
mhuri yavo vaZindoga isu zvotibva."
"Ho-o-o?Imboitai. Ini ndageza maoko," vakadaro vachi-
famba kuenda kumba kwavo.Mai Mavis vakasara
vachinyararidza muzukuru wavo uyo ainge ave kuita seach-
azvimba maziso nekuchema.

~ 47 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 9

Z uva rainge rogara makomo,kune kamhepo kaibva


nechekumabvazuva. Monica ainge agere zvake mun-
hanga make achirongedza mbatya dzake.Pfungwa dzake
dzainge dzisina kugadzikana. Dzainge dzichingopishana nez-
vaaiva akatarisana nazvo.Ko dzaigadzikana sei iko kuvira
kwezuva aizova muenzi pamusha pavaZindoga? Mwana aiti
akafunga nezvazvo ainzwa mudumu kurira zvichisanganisira
nekupindwa nechando.Apedza kurongedza mbatya dzake ato-
ra nharembozha yake ndokumbotamba nayo. Akazoto-
vhundutswa navatete vake avo vainge vapinda.
"Mapedza here mainini?" vakabvunza mai Mavis vakamira
zvavo.
"Ehe Tete. Pane zvamanga muchida kuti ndiite here?"
akabvunza Monica achida kunzwa pfungwa dzavatete vake.
"Kwete mainini ndangoti mugare makagadzirira nekuti
ndiri kukuperekedzai zuva richangonyura."
Monica akanzwa muviri kupindwa nechando paakanzwa
mashoko aya.Akaramba akanyarara atoona kuti tete vake
vainge vasina kudzokera kumashure.
"Mazvinzwa here mainini?" vakadaro mai Mavis vaona
muzukuru wavo angoramba akanyarara.
Monica akasimudza musoro wake ndokutarisa vatete vake
mumaziso chaimo.Akambotora kanguva akadaro ndokuzoti,
"Hongu tete." Akatsikitsira ndokuenderera mberi nezvaainge
achiita.
Mai Mavis vakatendeuka ndokubuda vonanga kuimba yavo
yekurara. Monica akasara ndokukanda nharembozha yake
pasi.Akabata gotsi nemaoko ake ose misodzi ndokubva yatan-
ga kuyerera.Akatora chinguva achingochema,akazotonyarara
vatete vake vadzokazve rwepiri.
"Ko kuzenge uri kuchema zvaita sei?" vakabvunza mai

~ 48 ~
Abraham Makamera

Mavis vawana muzukuru wavo misodzi ichinge rwizi pa-


matama.
"Hapana tete," akadavira achipukuta misodzi pamatama.
"Unogoti hapana sei? Wakamboona munhu anongochema
pasina zvaaitwa here?"
Monica akadzungudza musoro akatarisa vatete vake.
"Saka uri kuchemei?"
"Tete handisi kuda kuenda kwana Promise ini," akadaro
misodzi ndokutanga kuyerera nematama.
"Ahh unondishurira manenji here mwana waTichaona iwe?
Pamaipiwa pamuviri ndange ndiripo here ini? Ndez-
vekutonyarara mainini moenda kumurume.Moda kuita mbiri
yekunzi muri pfambi munharaunda muno here? Iyo mudzimu
yedu zvaine nharo inoda kuramba upfumi nekuda kusekwa
nenyika yese.Haa zvakatiomera!" vakadaro vachiombera
maoko.
Monica ainge akangotarisa vatete vake misodzi ichingo-
chururuka.
"Chigadzirai tiende mainini," vakadaro ndokubuda vachisi-
ya muzukuru wavo akangogara chiso chichiita semunhu adir-
wa mvura.Monica akapukuta misodzi ndokusimuka kubva
paainge akagara.Akambofamba famba neimba yose sepane
chaaitsvaga.Akazomira akazembera mudhuri ndokutarisa
mudenga.Akarova rova mudhuri nechitsitsinho katatu
kanenge kana.
"Haa, tongoona," akadaro ave kufamba achibuda pan-
ze.Akawana tete vake vachibuda muimba yavo yekurara
vachinja mbatya.
"Ko murikuenda makadaro here nhai mainini?" vakadaro
vaona Monica asati achinja mbatya dzaainge akapfeka.
"Tete kutaura chokwadi ini ndiri kutya ini," akadaro Mon-
ica achibata muchiuno.
"Unogotya chii iwe wakatakura mwana waPromise. Asi
haasi wake kani?"
"Akasava waPromise anozoita waanizve nhai tete?"
"Zvino kana ari muzukuru wavaZindoga chamuri kutya

~ 49 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

chii nhai mainini? Ndange ndofunga kuti zvimwe tinogona


kuvavigira muzukuru asiri wavo zvikazonetsa mangwana,"
vakadaro mai Mavis vachitarisa muzukuru wavo nechiso chiz-
ere kunyemwerera.
"Haa ndewavo tete," akadaro Monica achinyara nyara.
"Chinjai mbatya tiende mainini.Kwatosviba uku," vakadaro
mai Mavis vachifamba kupinda muimba yekubikira.Monicawo
akafamba achipinda munhanga make.Haana kupedza nguva
arimo ndokubuda akatakura bhegi dema raiva nembatya
dzake.Akaritsveta pakati pechivanze ndokumbomira akabata
muchiuno.
Mai Mavis vakabuda muimba yekubikira ndokuvhara
musiwo.
"Musakiya tete ndoda kumbonwa mvura," akadaro Monica
achifamba kuenda kuimba yekubikira.Akapinda muimba yeku-
bikira ndokunwa mvura.Akabuda ndokuenda paiva navatete
vake.
"Ko Tapiwa aenda kupi nhai tete?" akadaro Monica achi-
gara pamusoro pebhegi raainge asiya pasi.
"Ko wogarirei zvekare? Simuka tiende."
"Musana wava kurwadza tete," akadaro achibata muchi-
uno neruoko rwerudyi.Akaenderera mberi oti, "Hamuna kun-
dipindura tete.Tapiwa aenda kupi?"
"Aenda kwaambuya vako uko. Zvanzi ndiri kuda kundorara
ikoko.Chisimukai tiende mainini tofamba tichiita zvishoma
zvishoma," vakadaro vachimonera chichari chavainge vaka-
bata.
Monica akasimuka ndokupfeka juzi rake.Mai mavis
vakasimudza bhegi raiva rakagarirwa naMonica ndokupinda
munzira.Monica akambosara akamira akayeva vatete vake.
"Handeizve mainini.Mukaita zvekutamba ndinondovasiira
mbatya dzenyu idzi,ndovaudza kuti muri kutevera," vakadaro
mai Mavis mushure mekunge vacheuka ndokuona muzukuru
wavo achinge chigutsa.Pavainge vamusiya ndipo paainge ach-
ingori.Vakatendeuka ndokutanga kufambisa.Bhegi rainge rai-
ta kudengezerwa mumusoro zvino. Monica akazviona kuti
~ 50 ~
Abraham Makamera

vatete vake vainge vagumbuka. Akapinda munzira


ndokumbonzonza achitevera.Kusina kure kwaamboenda
akabva abaiyiwa nemabayo ndokukotama achiridza mhere.
"Tete ndakuvara!" akadaro achishevedzera akabata
mudumbu.Vatete vake vakacheuka ndokuona muzukuru aka-
kotama apa ruoko rwerudyi rwakabata mudumbu.
"Anoda kutoonererwa mwana waTichaona uyu.Anoti tiri-
kuita zvekutamba here pano?" Vakadaro vachitaura vo-
ga.Vakaenderera mberi nerwendo ndokusiya muzukutu
akangokotama.
Monica zvaakasara,akambopedza chinguva akakota-
ma.Akazosimudza musoro ndokungoona nzira yose yava
mhepo.Akatanga kunanaira achitevera tete vake,ndiye uyu
rukova Nyamapere yambu.Marwadzo ainge aderera
zvino.Akakanda nhanho achiitira kubata vatete vake vasati
vasvika pamusha waVaZindonga.
"Ndange ndave kutya kuti hamheno chii chakati zvii
pano?" akadaro Monica achifemereka.
"Ko wange uchimbosarirei?Unoti tiri kutamba here Mon-
ica?" vakadaro mai Mavis vakagara pamusoro pedanda remu-
hacha rainge rakazvambarara padivi penzira.
"Kwete tete," akapindura achigara pasi."Ndange ndabaiwa
nemabayo," akaenderera achipuruzira dumbu rake.
"Zvino apera here?"
"Zvava nane. Zvimwe kumhanya kwandamboita."
"Zvaamai ava vasikana.Munomhanya chii chamuchagona
ipapa naiko kadumbu kenyu ikaka," vakadaro vachiseka.
"Murikutondiseka tete..."
"Haiwawo,muchazvigona here zvekumhanya izvi tiite mu-
jahwo ipo pano?"
"Ndichizvirwadzisirei zvangu.Regai ndizorore ini,"
akapukuta dikita rainge royerera richibva nemumusoro.
"Zvakanakai mainini.Chinzwai nyaya iri pano.Pamusha
paZindoga ndipo patatarisana napo apo," vakadaro vachiten-
deka pamusha pavaZindoga apo paingooneka moto kupfuta.
"Ehe tete," akadavirira Monica ndokumirira tete vake kuti

~ 51 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vaenderere mberi nenyaya yavo.


"Zvatiri kufambira hazvisi nyore mainini asi zvinoda ush-
ingi..."
"Murikureveizve tete?" akadimburira vatete vake panzira.
"Teerera unzwe chete iwewe.Tichasvika togara kumucheto
kwechivanze, tomirira achauya kwatinenge tiri totangira
ipapo.Kana pakabuda mboma iwe usambosimuka kutiza, gari-
ra murume wako chete.Chero zvikanzi haapo iwe unongoti
ndomumirira ndiripano. Tiri kunzwanana here mainini?"
Monica akambotora kanguva asati apindura.Mashoko aya
ainge amuvhundutsa.
"Simukai tichienda," vakadaro mai Mavis vangoona muzu-
kuru wavo angoramba ari chimumu.Monica akasimuka
chinyararire ndokutevera mumashure mavatete
vake.Vakasvika pamusha wavaZindoga pasina ambotaura ne-
mumwe.
"Ngatigare pano pavanotiona," vakadaro mai Mavis vachi-
taura nekazevezeve.
Monica akangogara pasi chinyararire.Pfungwa dzainge
dzave kure.Iyo hana yainge yave kuita sengoma yemba-
kumba.Musoro wainge wakangotarisa pasi akangomirira
zvinotevera.
"Asi vanhu vacho havaonewo here? Ipo parikutoita sepane
vana voga apa," vakadaro mai Mavis vachitaura neizwi raka-
derera.
Zvechokwadiwo vaZindoga nemudzimai wavo vainge va-
sipo musi uyu.Vainge vaenda kundobata maoko asahwira wa-
vo ainge ashaika zvisina tsarukano. Mai Mavis nemuzukuru
wavo vakambogara kwenguva yakati kuti pasina
avaona.Mushure mekanguva vakazoona kuti vaigona kuzorara
panze musi uyu,mai Mavis vakakosora semunhu akachidzwa.
"Tete kani," akadaro Monica achizama kudzikamisa vatete
vake.
"Iwe tinorara panze tikaita zvekutamba pano.Ini ndinodzo-
kera kumba ukasara wega pano," vakadaro vakwidza inzwi.
Vana vaVaZindonga pavanzwa vanhu kutaura vose vaka-
~ 52 ~
Abraham Makamera

kanda maziso kwaibva nemanzwi aya.Vakaona vanhu vaviri


vainge vakagara kunze kwemusha ndokumbopererwa nemate
mumukanwa vashaya kuti zvairevei.
Rose akazosimuka paaiva ndokutora huni yaiva muchoto
ndokufamba akananga kwaiva namai Mavis nemuzukuru wa-
vo.Aifamba achiita seari kunyangira mhuka apa hana yainge
ichitamba mbakumba muchipfuva nekutya.
Akambomira ari chinhanho achida kunyatsoona kuti vaiva
vanaani,asi nekuda kwerima hapana waakaziva.
"Ndivanaaniko?" akabvunza akatendeka huni iya kwaiva
namai Mavis naMonica.
"Ndi..." Uyu aiva Monica aida kupindura ndokubva
atswinywa nzeve navatete vake.
"Chauri kuda kupindura ipapo chii? Handiti ndiko kushaya
tsika ikoko?Iwe zvako zvaunofanira kuita ndakuudza kwete
zvawava kuda kuita izvi," vakadaro vachitaurira pasi.
"Saka munoda kuti nditange ndarohwa here nhai Tete?"
Mai Mavis Havana kukwanisa kupindura mubvunzo
uyu.Chavakangoita kutswinya muzukuru wavo nzeve rwepiri
chinyararire.
Rose akaona kuti zvaigona kuzomuomera ndokudududza
achidzokera kumashure.Mwanasikana ainge ave kurohwa
nehana zvaasati amboita.Akatorana nemunin'ina wake uyo
aiva nemakoregumi nematatu ekuberekwa,pamwechete
nehanzvadzi yake iyo yaivawo nemakore matanhatu ekubere-
kwa ndokupinda muimba yavo yekurara.Vakaisa chihuri
nemukati ndokutora guyo raiva seri kwegoni ndokurizendam-
isa pagoni.
Rose aiva mwasikana wavaZindoga uyezve aiva shamwari
yaMonica.Musikana uyu aiva murugwaro rumwe chete na-
Monica asati asiya zvechikoro.
Mai Mavis naMonica vakasara vari panze vachikakaritsana
nemashoko.Monica achiti, "Dai tataura kuti tisu vanaani tapi-
wa pekurara."
Tete vachitiwo," Hatina kuuya kuzorara pano muzuku-
ru,toda pekugara."

~ 53 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Vakambotora nguva varikumucheto kwechivanze.Chando


chakazoti chosimuka vaviri ava vakasimuka ndokundogara
pachoto vachikuchidzira moto kuti vadziirwe.Monica
semunhu aiva akaremerwa, kungodziirwa kwaakaita dzakabva
dzabata akatsamhira pabhegi raiva nembatya dzake.
Mai Mavis vakaona muzukuru wavo arara ndokusimuka
vave kudzokera kumba kwavo ndokumusiya akarara.

~ 54 ~
Abraham Makamera

TSAURO 10

S ango kuipa kuipa zvaro asi haridyi munhu.Monica


akamuka chando chamurova. Mazino ainge achiita ku-
rovana nekudedera. Akagofa gofa pachoto ndokuona angova
madota chete.Akatarisa mudenga ndokuona nyeredzi dzava
shoma.Machongwe ainge atoneta nekukukuridza.
"Ko dzatopera here hope?" Vakadaro mai Mavis vachipinda
muchivanze chemusha.
"Ehe ndange ndava kutotya kuti manditiza tete," akadaro
Monica achishama n'ai.
"Ko munhu anotizwa here nhai muzukuru? Handiti
anonyatsoenekwa zvakanaka kuitira patinozoshanya
mangwana," vakapindura muzukuru wavo vachiseka zvavo.
"Ko wava kuiteizve zvawava kupfumbura dota kudaro?"
vakabvunza mai Mavis vaona muzukuru wavo achikwarakwa-
ra muchoto nehuni.
"Ndatonhorwa tete ndiri kutsvaga marasha tibatidze mo-
to."
"Unoti huchiri usiku here? Hande tindogara pataiva apo,"
vakadaro mai Mavis ndokusimudza bhegi raiva nembatya
dzemuzukuru wavo.Vakatungamira muzukuru wavo ari
mumashure.Vakagara pasi ndokumboraira muzukuru wa-
vo.Vakazodimudzirwa naRose uyo ainge avhura musiwo
ndokumira achishamisika nezvaainge aona.
"Mamukasei amai? Zvaita sei mabva magara kunze
kwechivanze kudaro?" akadabvunza Rose akabata pachipfuva.
"Zvakaoma mwanangu. Swedera padyo," vakapindura mai
Mavis vachirereka musoro.
"Monica!? Ko zvaita sei?" akadaro Rose achikatyamara
aona Monica uyo ainge akangotsikitsira nenyadzi.
"Ko baba naamai varipo here?"
"Kwete amai vakaenda kunhamo nezuro. Ko zvaita sei

~ 55 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

amai? Nhai Monica, chii kuzenge uri...?"


"Rose mwanangu chimbomira zvekubvunza zvakawanda
wanda.Nyaya iri pano ihombe.Tiri kuda kuonawo vaZindoga
ndivo vangatozvikwanisa," vakadaro mai Mavis vachi-
dimudzira Rose uyo ainge ave kuita semuchuchisi ari kubvun-
za musungwa mudare redzimhosva.
Rose akambotora kanguva achidzeya mashoko ainge
ataurwa namai Mavis.
"Ndimi vatakaona mauro here?"
"Hongu mwanangu."
"Ko makaregerei kutaura nhai amai? Saka marara ipo pano
here?" akadaro Rose pfungwa dzisati dzanyatsogatsikana.
"Rose mwanangu chimbondibatsirawo ndapota. Wombosi-
ya zvehutikitivha kana upurisa mbichana. Nguva ichasvika
munovhunzana zvenyu," vakadaro mai Mavis.
"Mirai nditume Charity amhanye kwaMuchetura uko and-
ovashevedza," akadaro Rose,ndokuenda kuimba yavo yeku-
rara.Akasvikomutsa munin'ina wake ndokumuraira kuti an-
doshevedza baba vavo.
Akabuda ndokudzokera paiva namai Mavis naMon-
ica.Akasvika ndokusimudzira nayo mibvunzo yake. "Ko Mon-
ica kutii zii kudaro chii chiri kunetsa?"
"Hapana," akapindura Monica chiso chakatarisa pasi.Idzo
nyadzi aiita seachanyungudika nadzo. Zvainge zvosanganisira
nekutya.
"Aitwa seiko Monica nhai amai?" akadaro Rose pfungwa
dzichiyuwira nekuda kuziva chainge chasvitsva mai Mavis
nemuzukuru wavo pamusha pavo.
"Mira baba vako vauye mwanangu tozotaura.Ko ndiani
akashaika kwaMuchetura?"
"Ivo vaMuchetura vacho," akadaro achifamba kupinda
muhozi yaiva nechekumadokero kwemusha.Haana kutora
nguva arimo ndokubuda akabata rupasa.
"Huyai mugare pakanaka amai makamirira baba," akadaro
Rose achiwaridza rupasa padyo nepachoto.
"Usazvinetsa zvako mwanangu,regedza tigare ipo pano."
~ 56 ~
Abraham Makamera

"Kumucheto kwechivanze here nhai amai? Imo muguruva


imomo?"
"Ko pane zvazvichanjinja here? Handiti dzatosviba kare
mbatya dzacho? Ko vakaoneiko munhu andakaona svondo
rapera kumusangano uko?" vakadaro vachipfunya chisero.
"Ahh zvanzi vakangodonha vachibva kudanga," akadaro
Rose.
"Inga zvakaoma," ava vaiva mai Mavis vaingonotaura
vachidzungudza musoro.
Paitaurwa zvese izvi, Monica ainge akangonyarara sea-
kasonwa muromo.Musoro wake wainge wave kubanda
nekufunga.Chainyanya kumushungurudza ndechekuti muridzi
wenhumbu ainge asipo. Aiti akafunga nezvokuti kana vaZin-
doga vakamuti amirire kuuya kwaPromise ainzwa muviri
wose kubaya baya.Chokwadi hupenyu hwainge hwamu-
sandukira zvaainge asingafungire.Mwanasikana akasimudza
musoro ndokutarisa vatete vake avo vainge vari mubishi nez-
virukwa zvavo.Akadzungudza musoro misodzi ndokutanga
kuyerera.
"Monica!" vakadaro mai Mavis neizwi rakaderera,asi Mon-
ica akaramba akanyarara sepasina chaanzwa."Asi watorara
ipapa? Muka vaZindoga vauya," vakadaro vachibata muzuku-
ru wavo pamafudzi.
Monica akapukuta misodzi nechichari chaange akamonera
ndokusimudza musoro.Akaona vaZindoga vave kutopinda
muchivanze.Mwanasikana akarohwa nehana zvekuti akatom-
bofunga kutiza.Akazunza zunza ruoko rwerudyi rwainge rwa-
batwa nechiveve ndokuzobata pamuromo.
"Dzikama iwe! Chauri kuvhunduka ipapa chii?" vakadaro
mai Mavis vakatarisa muzukuru wavo nemaziso aiti zvauriwe
uite chinyadziso chinenge cheimbwa inoregera mhembwe
ichipoya mubako iyo ina vatenzi.Monica haana kupin-
dura.Chaakangoita kugutsurira musoro.
"Kwakanaka here kwamamukira kuno kudai?" vakadaro
VaZindoga vachitambanudza ruoko rwavo kuna mai Mavis.
"Hongu kwakanaka baba vemwana. Nenhamo dzaVaMu-

~ 57 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

chetura dzandiri kutonzwa pano naRose," vakadaro mai Ma-


vis vachikwazisana naVaZindoga.
"Akaonekwa. Zvakaoma mainini."
Vakambotaura nezverufu rwavaMuchetura, mushure
ndokuzobvunzana mufaro sevanhu vange vave nezvimazuva
vasina kuonana.
"Ko kuzogara kunze kwemusha manyimwa pekugara here?
Huyai mugare parupasa apa," vakadaro VaZindoga vachitora
chigaro chaiva muberere reimba yekubikira ndokugarira.
"Aiwa ipo pano pakanaka babamukuru. Dai imi matoswed-
era nechekuno," vakadaro mai Mavis vachikanda zvirukwa
zvavo pamusoro pebhegi raiva padivi pavo.
VaZindoga vakasimuka ndokutora chigaro chavo vofamba
vachienda kwaiva namai Mavis nomuzukuru wavo.Vakasvika
ndokutsveta chigaro pasi ndokugara.
"Kwakanaka here kwamabva mafamba nemutundu kudai?"
"Hongu kwakanaka," vakapidura mai Mavis vachirereka
musoro.
"Uyu ndiMonica here uyu?" vakabvunza VaZindoga vachi-
nongedzera Monica.
"Hongu. Ndiye adai kutisvitsa pano"
"Zvanziizve?" vakadaro VaZindoga vachikatyamara.
"Ah zvikukutu, imbwa ina VaZimunya." vakambomira
zvishoma vakatarisa vaZindoga avo vainge vakanyatsoteera
zvavaitaura. "Ndauyawo naye, muenzi wenyu paari ipapa,"
vakaenderera mberi vachinongedza Monica.
"Muenzi waMonica here nhai mai Mavis?" vakadaro
vaZindoga vazvishairwa pazvo.
"Hongu baba vemwana. Ati ane muzukuru wepano
waakatakura."
"Wati chii mukadzi iwe?" vakadaro vaZindoga vachisimu-
ka kubva pavainge vakagara.Vakakwenya mhanza yavo iyo
yaiita seyazorwa mafuta nekupenya.
"Mai Mavis taura nyaya yako mhani. Uri kuti chiiko iwe?"
vakadaro,ruoko rwekuroboshwe rwapinzwa muhombodo
yemudhebhe wavainge vakapfeka.
~ 58 ~
Abraham Makamera

"Chero mukaita hasha pane chichachinja here nhai Nya-


muzihwa? Mwana ati muzukuru ndewepano uyu," vakadaro
mai Mavis vachishereketa.
"Baba vake vari ani? Handina mwanakomana ari pano
ini.Norest,Aaron naTavonga vave Australia. Uyuwo teach-
er ndiyeari kuHarare.Zvino imi munoreveiko?" vakadaro
vachitsika pachigaro chavainge vakagarira negumbo rerudyi.
"Mwana ndewa teacher baba vabhoyi"
"Iwe ndikwanire mukadzi iwe! Unondiudza kuti Promise
akamitisa muzukuru wako iye ari kuHarare uko. Zvenyu
zvekuda kuroodza pfambi dzenyu pano nekukara kwenyu
ndoda kuzvipedza nhasi.Kamwe kakauya pano svondo rap-
fuura kaina vatete vacho zvanzi ndine nhumbu yaPromise...
Haa makajaidzwa mhani!" vakapaumba VaZindoga vachis-
undudzira chigaro kwakadaro negumbo ravo.
Paiitika izvi Monica ainge akangotsikitsira,apa hana ichiita
kukwata semanhanga ari pachoto.Aipota achisimudza musoro
achitarisa mafambiro aVaZindoga.Akaona vakagara kana
kumira aidzorera musoro pakare. Akausimudza rwetatu
ndokuona VaZindoga vachibuda muimba yavo yekurara vaka-
bata mboma yainge yakagadzirwa neganda remvuu. Mwana-
sikana akasimuka achiita zvekusvetuka ndokutanga
kudududza achibuda muchivanze.
"Dzoka ugare pasi! Uri kuenda kupi?" vakadaro mai Mavis
vachiratidza kusafarira zvainge zvaitwa nemuzukuru wavo.
"Achidzoka kupi? Muregere aende kumuridzi wedumbu.
Ndiye andinoda kunyatsozvambaradza iyeyu," vakadaro
vaZindoga vachikanda nhanho vakananga kwaiva naMon-
ica.Monica paakaona vaZindoga vave kusvika paava akabva
ati gwadagwa nekutya.Paiitika izvi Rose nemunin'ina wake
vainge vakangomira muberere reimba yavo yekurara
vachingookera sevanhu vari kuona bhaisikopo.
"Baba! Musamurova!" akadaro Rose achishevedze-
ra.Akabva muberera achimhanya ndokuenda paiva nababa
vake akasvikovabvutira mboma yavainge vakabata ndokuenda
nayo munhanga mavo.VaZindoga vakatendeuka ndokundoga-
~ 59 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ra pasi, apa chiso chizere nyadzi.


"Huya ugare apa," vakadaro mai Mavis vachishevedza
muzukuru wavo.
Monica akasimuka ndokufamba achienda paiva navatete
vake.Makumbo ainge achiita semunhu ane nhetemwa kuri
kudedera.
"Saka imi murikuti nhumbu iyi ndeyaPromise here?" vaka-
daro VaZindoga vachisimuka ndokundobatidza mudzanga
wechimonera wavainge vakabata.
"Hongu baba vemwana."
"Rose enda undoshevedza vana baba vako, pamwe chete
namai vandasiya kunhamo uko. Ugodzoka nekwemwana wako
uko kwababa Farai uti zvanzi nababa svikai kuno kune nyaya
iriko." Vakadaro VaZindoga ndokubairira chimonera
pamuromo. Vaiti vakachikweva waizongoona utsi huchibuda
nemumhino.
Rose akapinda munzira achimhanya ndokundosiya shoko
kwese kwainge atumwa.
Hazvina kumbotora nguva mukoma, waVaZindoga,
VaChigubhu pamwe chete nevanin'na vavo vachibva vasvi-
ka.Mai Norest, vanova mudzimai waVaZindoga vakaz-
osvikawo vakadungamidzana nababa vaFarai avo vaiva muzu-
kuru waVaZindoga pamwe chete nehanzvadzi yaVaZindo-
ga.Vaviri ava vakatosvika nyaya yatokandwa mudariro.
VaZindoga vainge vari kuidhonza vakanangawo nekudivi
rekuda kunzvenga kugamuchira Monica mumusha mavo,
mukoma wavo achizamawo kuvadzikamisa.
"Ini ndiri kuwirirana nemi sekuru pakuti ngatimirirei
kuuya kwasekuru Promise, asi izvi zvinofanira kuitwa mwana
uyu ari pano?" vakadaro baba vaFarai.
"Hauchionazve muzukuru.Idzi ipfungwa dzakanana,"
vakadaro vaChigubhu vachibvumirana nemuzukuru wa-
vo.Vanin'ina vavo vaingogutsurira musoro semadhambakuro.
"Pahuna hwenyu sarudzanai kuti anoenda nemwana uyu
ndiani nekuti ndaona sekuti mose murikumuda mumusha mu-
no," vakadaro VaZindoga ndokukweva chigusvani chefodya
~ 60 ~
Abraham Makamera

chainge chave kutopera nemhepo.


"Hazvinzwaro Shumba.Vana ndevedu tose ava.Zvataurwa
nemuzukuru ndizvo chaizvo," vakadaro mai Norest vachi-
dzikamisa murume wavo.
VaZindoga vakatarisa hanzvadzi yavo mai Muchan-
eta,ndokuona vachidzungudza musoro vachiratidza kusawir-
irana nezvainge zvataurwa nababa vaFarai.
"Ngaasare zvake," Vakadaro VaZindoga vakatarisa pasi.
Pavakangotaura mashoko aya, Monica akabva atanga
kuchema. Munamato wake wange uri wekuti, "Dai varamba
kundigamuchira pamusha pano." Zvino zvainge zvaenda
nepamwe.
Mwana akaonekana navatete vake ingori misodzi pa-
matama.Ndiko kwakava kutanga kwechimwe chikamu
muupenyu hwake.

~ 61 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 11

P akapera mazuva matatu kubva musi wasiiwa Monica


pamusha paVaZindoga navatete vake mai Ma-
vis.Monica akamuka mangwanani emusi weMuvhuro
ndokutsvaira chivanze. Apedzazvo akatora mugomo
ndokupinda munzira ave kunanga kutsime. Akawana kutsime
kuna mai Muchaneta.Vakakwazisana nekubvunzana mufaro,
Monica ndokuzochera mvura.Akatakura mugoro wemvura
ndokufamba achikwidza makata aivapo kubva mur-
wizi.Paakati achindopedza makata akanzwa mugomo
kusundidzirwa zvine chisimba.Akatendeuka ndokuona vari
mai Muchaneta.
"Zvaita seiko nhai tete?" akabvunza Monica achishamisika
kwazvo.
"Mubvunzo wekundibvunza here uyu? Kana watsamwa tu-
ra mugomo tirwe," vakadaro mai Muchateta vachizunza zun-
za maoko semutambi wetsiva.
"Ko zvamboita sei tete?" akadaro Monica ashaya neshumo
yazvo.
Mai Muchaneta havana kukwanisa kupindura mubvunzo
uyu,chavakangoita kusundudzira mugomo waiva wakatakur-
wa naMonica uchindowira kwakadaro uko.
Monica akabata muromo akatarisa mvura yainge yadeuka
ichiyerera ichipinda murwizi.Akakanda nhanho imwe achida
kundotora mugoro uyo wainge waita semukoko usina hata
mativi ose.Paakada kukanda yepiri akanzwa dzvii nemuhuro.
Mwanasikana akavhinzuka zvehasha ndokurova mai
Muchaneta pamuromo negokora rake.Mai Muchaneta vakati
vaipangura mhere. "Maiwe-e-e ndofawo!.Maiwe-e- kani!!!
Huyai mundibatsirewo vanhuwe-e!" vakazhambatata vakabata
muromo apa ropa richiita kuchururuka. "Ungandirovera kuti
ndakuwanikidza une chikomba?... Haunyari wakaita sei?

~ 62 ~
Abraham Makamera

Nhasi tinopedzerana," vakadaro mai Muchaneta vaona


muvakidzani wavo ave kusvika pavainge vari.
"Munondishurira here nhai tete?" akadaro Monica misodzi
ichiyerera.
"Zvamboita seiko?" uyu aiva muvakidzani wamai Muchan-
eta aibvunza.
"Ndakavaudza mhani kuti munhu uyu haaite,ivo kwava
kuomesa makotsi. Hezvo ndamuwanikidza akambundirana
nekamwe kakomana kazotiza kachikwidza nerwizi uko."
Vakadaro mai Muchaneta vachigeza muromo uyo wainge
wave kuita semunhu arumwa nenyuchi.
"Tete munondivengerei mukadaro?" aitaura mazwi aya
misodzi ichiita kuchururuka. Akanhonga mugomo ndokufam-
ba ave kuenda kumba.
"Hakuna kwaunomhanyira.Tiri kutoenda tose," vakadaro
vachitevera mumashure ndokusiya muvakidzani wavo asina
kana neremuromo.
Vachingosvika pamba vakawana mai Norest vachi-
gudubudza ndiro muimba yekubikira.VaZindoga vainge vaen-
da mugomo kundotarisa misungo yavo.
"Ko zvamadzoka musina mvura nhai VamaNcube?"
vakabvunza mai Norest vaona muroora wavo achipinda mum-
ba akabata mugomo usina chinhu.
"Mugomo watsemuka," akadaro Monica achitsveta
mugomo pasi.
"Watsemuka seizve nhai mwanangu?"
Monica akashama kuti ataure ndokutadziswa namai
Muchaneta vainge vapinda vachiita semunhu ari kudzingirir-
wa.
"Usatombonyepa zvako.Taura zvose zvaitika," vakadaro
mai Muchaneta vachitambisa tsoka yavo yekurudyi apa maoko
akati dzvii muchiuno.
"Ngatigarei pasi," vakadaro mai Norest vaona kuti paiva
nenyaya hombe.
Monica akagara pasi ndokupfunya chisero.Mai Muchaneta
vakambosara vakamira vachiti vakambozunza zunza maoko

~ 63 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vobata muchiuno,voabvisa, vobata musoro,vachingodaro.


"Chigarai pasi tete titaure. Zvambonyanyoita seiko nhai."
"Mai Norest muroora, ndiri kurwadziwa.Dai uriwe zvaive
nane, kwete mwana uyu.Haangandirove kuita sendichabva
mazino mhani," vakadaro mai Muchaneta vave kupupira
nehasha.
"Chigarai pasi vatete,hongu mwana akanganisa."
Mai Muchaneta vakagara pasi vakatandavara makumbo.
Vakambobata muromo ndokuona uchakangozvimba.
"Chitaurai tinzwe kuti zvafamba sei?"
"Zvakaoma muroora.Pandaenda kutsime ndasvikowana
muzukuru agere apa uyu akambundirana nemumwe mukoma-
na vakahwanda nemuti wemuonde.Ndanyangira ndokusvika
pavaiva chaipo.Saka ndazoda kuvabata vose uyu ndipo
paazondikandira zvibhakera zviviri zvasvikondirova pamuro-
mo chaipo.Chetatu ndazotonzvenga ndipo paazonhonga dom-
bo ave kuda kunditema. Dai asiri muvakidzani wangu ange ari
mubindu make azondinunura, zvimwe ndikadai ndatova chan-
do," vakazopedza kutsanangura uku Monica ainge ave ku-
tochema.
Mai Norest vakambotora kanguva vakatarisa muroora wa-
vo pasina chavataura.Vakatarisa muroora wavo ndokuona
akatsikitsira.
"Zvakanakai tete,ndichatuma mwana ozokushevedzai kana
baba vaNorest vauya," vakadaro mai Norest.
"Ndiripano muroora.Hakuna kwandiri kuenda.Ndiri
kutobva pano mwana uyu adzokera kumba kwavo. Pasina
izvozvo tichapedzerana. Ndinopika nababa vangu varere mu-
bako," vakataura vachisimudza maoko mudenga.
Mai Norest vakashamisika nemashoko aya ndokusimuka
vave kubuda panze.
"Tete mai Muchaneta muri kudiwa," vakadaro mai Norest
vave panze.
Mai Muchaneta vakasimuka ndokubaya Monica mumusoro
nemunwe.Vakakanda nhanho vachibuda vasina chavataura.
"Ndiri kudiwa nani nhai muroora?"
~ 64 ~
Abraham Makamera

"Hapana tete. Ndati ndikushevedzei muuye panze


pano.Dzimwe nyaya hadzidi pane vana," vakadaro vachitora
rupasa rwainge rwakazendamiswa pamadziro emba yekubiki-
ra.
"Ndiri kuuya. Regedza ndimbonwa mvura," vakadaro mai
Muchaneta vachidzokera muimba yekubikira.
Vakasvikowana Monica asimuka kubva paainge akaga-
ra.Ainge akamira akazendama nemadziro apa maoko akabata
kugotsi.
"Yowe-e-e!" vakadaro mai Muchaneta vachiridza
mhere.Vakabuda muimba yekubikira sezvinonzi vainge vaona
nyoka.
"Zvaita seiko?"
"Zvakaoma muroora!Ndiri kuda kupondwa nepoto!" vaka-
daro vachifemeruka.
Mai Norest vakamhanyira muimba yekubikira ndokusvi-
kowana muroora wavo akangomira akazendama nemadzi-
ro.Kana iri misodzi kumeso yaiita seiri kubuda muchitubu
chaimo.
Vakambomira vakatarisa muroora wavo, mushure ndoku-
zofamba vachienda paaiva. Vakasvikomumbundira
vachimunyararidza. Vakambotora kanguva vakadaro ndoku-
zobuda vave kuenda panze.
"Usachema mwanangu," vakadaro vachibuda muimba
yekubikira.
Monica akasara ndokugara pasi. Akaridza mapika semunhu
anga achemesa. Akambofunga kutiza asi kwekutizira ndiko
kwaange asina.Akambofunga kudzokera kumba kwavo akaona
sekuti ainge ave kundozvikanda mumukanwa meshumba.
Mai Norest zvavakabudawo mumba vakaenda paiva namai
Muchaneta ndokusvikogara pasi.Pakamboita karunyararo
pasina aitaura nemumwe.Mai Muchaneta vaingoteta teta pasi
nechimuti.
"Mwana akanganisa tete..." vakadaro mai Norest.
"Zvino muri kurongei nayo mhondi iyi?" vakadaro mai
Muchaneta vachikanda pasi chimuti chavainge vakabata.

~ 65 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Ko ndingati chiiwo zvangu,ini nditoriwo mutorwa pano?"


"Ngatimirire mukoma vadzoke."
"Zvakanaka tete,asi musatonge nedemo.Ini muroora
wangu ndinomuda," vakadaro vachishereketa.
"Hehedee!Zvakakuomera muroora.Iyo pfambi iyoyi ndiyo
yauri kutoti ngaigare mumba mako mawakasevenzera
nemaoko ako aya here?" vakadaro mai Muchaneta vachiten-
deka mai Norest. Vaitoseka zvavo semukadzi wechipiri.
"Ane benzi..." havana kukwanisa kupedza kutaura vadim-
burirwa panzira naamai Muchaneta.
"Benzi nderipi apa rinoti rikadzana unopururudza iwe?"
"Iye muzukuru wenyuka iyeye Promise handiti ndiye aka-
tiparira mhosva iyi here?"
"Mhosva yauri kutaura nezvayo ndeipizve nhai muroora?"
vakadaro mai Muchaneta vachiratidza kushamisika.
"Ah!Munoona sezvakanaka here? Pane nyaya apa tete,"
vakadaro mai Norest ndokuzoenderera mberi voti,"Zvabva
zvanaka mukoma venyu vabva vasvika."
VaZindoga vakapinda muchivanze ndokukanda pasi mu-
tanda wehunhi wavainge vakatakura.Vakapinda muhozi yaiva
kumabvazuva kwemusha wavo ndokusiya demo,uta nemuseve
zvavainge vakatakura.Vakabudamo ndokunanga kuimba
yekubikira ndokusvikonwa mvura.
"Ndamuka wamukawo muroora," vakadaro vachidavira
Monica uyo ainge avakwazisa.Vakabudamo ndokunanga paiva
nemudzimai wavo pamwe chete nehanzvadzi ya-
vo.Vakasvikomira vakaisa ruoko rwerudyi muhombodo.
"Mamukasei mukoma?"
"Ndamuka. Ko mwana aitwa sei mai Norest?" vakadaro
vachifamba kundotora chigaro chaiva kumucheto kwechivan-
ze.Vakadzoka ndokugara pasi."Ko zvandabvunza hazvina
kunzwikwa here?"
"Ini ndazvitadzawo ini sekuru vaTinei," vakadaro mai
Norest vachipindura murume wavo.
"Chii chiri kunyatsoitika pamusha pano?" vakabvunza
vachimona fodya yechimonera.Vapedza vakabuditsa gwenya
~ 66 ~
Abraham Makamera

raiva muhombodo remudebhe wavainge vakapfeka ndokutun-


gidza mudzanga wavo.
"Zvandinoita sendiri ndoga pano?" vakadaro vangoona
mudzimai wavo nehanzvadzi yavo vangoita sevasonwa miro-
mo.
Mai Norest vakasimudza musoro ndokutarisana navatete
vavo vaine chiso chaiti, "Ikandei mudariroka sezvo vatainge
takamira vasvika".
Mai Muchaneta vakaramba vakatarisa muroora wa-
vo.Vakambozama kuda kutaura asi muromo wakaramba
wakavharika sezvinonzi wainge wanamwa nenamo.
"Saka munondiudza kuti takavigirwa benzi here pano
pamusha?" Ava vaiva vaZindoga vaibvunza.
"Kuti tingati ibenzi here mukoma? Takavigirwa zvimwe.
Mhondi zvayo.Mombe yemashanga chaiyo"
"Uri kurevei mai Muchaneta?"
"Ini ndave nekakusagutsikana pamusoro penhumbu ya-
katakurwa nemuroora wenyu ari mumba umu."
"Nemhaka yechii usingagutsikane?" vakadaro vaZindoga
vachidimudzira mai Muchaneta panzira.
"Zvandaona kurwizi uko zvandishamisa..."
"Ndonhema dzamava kuda kutaura tete," vakadaro mai
Norest vachisimuka kubva pavainge vagere.
"Unogoti inhema seiko nhai mai Norest? Saka zviri kuto-
kufadza uchiona muromo wangu wakuzvimba kudai nhai?"
"Haiwawo,chingotaurai kuti hamude mwana uyu
chete.Ndinozviziva kuti muri kuda mwana wasahwira
wenyu.Zvino pano haafe akapagara ndinopika nehanzvadzi
yakatsakatikira musango," vakadaro vachipinda muimba
yekubikira.Vakasvikogarara pasi ndokukurukura nemuroora
wavo vachimunyaradza.
Mai Muchanetawo vakasara vachirondedzera hanzvadzi
yavo izvo zvavaiti ndizvo zvainge zvakonzeresa kuti vazoro-
hwa naMonica.Vapedza kutaura,VaZindoga vakasimuka
chinyararire ndokutevera mudzimai wavo ndokusiya mai
Muchaneta vakangogara voga vachizvidya pfungwa.

~ 67 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Chainyanyovanetsa ndechekuti vaZindoga vainge vasina


kumboratidza kutsamwira muroora wavo pane zvose zvav-
ainge vavaudza. Vakasimuka ndokupinda munzira vonanga
kumba kwavo vasina kuoneka.
"Ndingarohwa nemwana uya zvotongorova zvakadaro?
No.Ndaramba ini. Uyo ndiye ari kutozodzokera achida
asingadi," vakadaro mai Muchaneta vachitaura voga vari
munzira kuenda kumba kwavo.
"Usachema muroora. Murume wako ndataura naye ati ari
kusvika mangwana zuva rorereka.Sununguka zvako."
"Zvakanakai amai. Hoo mataura naye nhai? Kana achiuya
zvake mangwana pakanaka mhai. Mazvita zvenyu." akadaro
Monica achiombera, asi misodzi yainge yaramba kupwa pa-
matama.Yainge ichingoyererera semvura iri kubuda muchi-
rongo chakatsemuka. Kana dziri pfungwa dzaiita muram-
bamhuru kana chamupupuri chaicho.Akazongozvishingisa
nemashoko aiti tongoona kunowira tsvimbo nedohwe,sezvo
dai ndakaziva yainge isingachatungamire.Chainge chang-
ovapo kutamba inorira.

~ 68 ~
Abraham Makamera

TSAURO 12

"K o Monica ari kutsvageiko pano nhai amai?"


akabvunza Promise achipinda muchivanze asina ka-
na kumbokwazisa amai vake.
Ndiko kunonzi nevakuru,rabva nedera denhe kupinda ga-
ya.Haasiriye here Monica waaigarorota nekumuchemera zuva
nezuva? Zvechokwadi rinonyenga rinohwarara.
"Unopenga here Promise? Uri kundibvunza mubvunzo siri,
hauzive zvawakasiya waita here? Unofunga ndaikunyepera
here? Ko unomboti rina manyanga rinomboputirwa here
nhai?"
"Zvaamaiwo futi. Imi munongotambira vanhu sezvinonzi
panochengetwa nherera pano nhai," akadaro Promise achipin-
za ruoko muhombodo.
"Ndinokurova Promise! Usafunga kuti zvawava nendebvu
ndingatadza kukuwadzura nembama izvozvi so.Mashoko
rudzii iwayo auri kutaura?" vakadaro mai Norest vachi-
nongedza mwana wavo nemunwe.
Monica akabva kuseri kwehozi uko ainge ari kurasa marara
ndokukanda mutsvairo pasi pamwe chete nechizen'e chaainge
akabata.Akafamba ndokuchingura murume wake.Akatambira
bhegi raiva rakabatwa navamwene vake ndokupinda naro
mumba.Akasvikoritsveta parupasa iye ndokugara pasi.Pasina
chinguva vamwene vake vainge vatopindawo.
"Haa, zvakandiomera gore rino," vakadaro mai Norest
vachigara padivi nemuroora wavo.Vakabata pamhanza pavo
apa chiso chakatarisa pasi.Vakambotora kanguva vakadaro
vachiratidzika semunhu ari kufunga zvakati dzamei.
"Gogogoi muno!" akadaro Promise achipinda muimba
yekubikira apa maoko ainge akanyudzwa muhombodo.
"Gogogoi pano, maoko ari muhomwe chirudziiko ichocho?
Ndinokurova Promise. Usada kukwidza BP yangu wanzwa,"

~ 69 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vakadaro mai Norest vakatarisa mwana wavo nechiso chainge


chaunyana pahuma nehasha.
"Zvanaka wabva wasvika Rose. Huya pano mwanangu,"
vakadaro mai Norest vachishevedza Rose uyo ainge achan-
gopinda muchivanze achibva kuchikoro.
Rose akapinda mumba ndokuswedza amai vake pamwe
chete naamaiguru vake.Akaenderera mberi nekukwazisana
pamwe chete nekubvunzana mufaro nehanzvadzi yake.Zvose
izvi aizviita akapfugama parupasa ari padyo namai vake.
"Ndauya amai," akadaro Rose apedza kukwazisana
naPromise.
"Ndinoda usvike kwavatete vako uko undovaudza kuti
Promise auya."
"Zvakanakai amai. Chiregai nditange ndabvisa yunifomu."
"Usaenda zvako Rose. Ndapfuura ndichivaona ndisati
ndasvika kuno.Vari kusvika pano zvino zvino. Vacham-
boonana nemuenzi wandavavigira ndingadai ndauya navo
kuno," akadaro Promise akatarisa Rose uyo ainge atosimuka
kubva paainge akagwadama.
"Muenzi?" vakabvunza mai Norest vachishamisika.
Vakaendera mberi voti," Ndiani muenzi iyeye waungavigira
mai Muchaneta?"
"Zvaamai vakomana. Muchamuziva zvenyu manje manje,"
aitaura mashoko aya akatsikitsira.
Rose akasimudza bhegi rake remabhuku ndokubuda ave
kunanga kunhanga kwake.
Muimba yekubikira makambosara mune karunyararo pasi-
na aitaura nemumwe.
"Pamusoroi!" akadaro Monica achiombera maoko,mushure
ndokusimuka. Akagudubudza mapoto ndokupakurira Promise
mutakura wenyimo wainge wakasanganiswa nechibage.
Akadzokera paainge akagara ndokutambanudza ruoko achi-
tambidza Promise ndiro yaiva nemutakura.Promise akaramba
akapeta maoko ake semunhu asina chaaiona.
"Iwe Promise! Haugoni kutambira ndiro yauri kutambi-
dzwa here?" vakadaro mai Norest.
~ 70 ~
Abraham Makamera

"Mune chiiko mundiro macho zvamunondiitira hasha nhai


amai?"
"Mutakura wenyimo uyo hauuoni ipapo?"
"Handina kumboti ndinoda mutakura ini amai. Iye dzake
dziri nyasha dzeiko dzekuda kundipakurira mutakura?" aka-
daro promise achisimuka paainge akagara ndokuba panze.
"Dzorera zvako mwanangu."
Monica akasimuka ndokutsveta ndiro yaainge akabata
murusero rwaiva kumberi kweimba.
Akadzoka ndokugara pasi,misodzi yainge yajenga muma-
ziso.Akatsikitsira pasi ndokutanga kusvimha misodzi.
"Usachema mwanangu. Zvichanaka zvino zvino," vakadaro
mai Norest vachibata muroora wavo papfudzi.
"Zvinenge zvaramba izvi amai. Ndosvika kupi ndichir-
wadziwa kudai? Zviri nane ndidzokere kumba amai," akadaro
Monica misodzi ichiiyerera nematama.
"Ko murume wako unomusiya nani nhai mwanangu? Imba
inoda kutoshinga iyi.Usafunga kuti dzimba kuita chin'ai kudai
tiri pano zvaiva..." Havana kuzopedza kutaura vadimburirwa
panzira naPromise uyo ainge apinda mumba achipopota.
"Imi amai asi ndimi makamupa nhumbu here mwana uyu?
Muregedzei aende kumba kwavo handiti ati anoda kuende
here?"
Mai Norest vakashamiswa nemashoko emwana wavo ndo-
kuramba vakamutarisa vakazopedzisira nekudzungudza mu-
soro.Monica akasimuka kubva paainge akagara ndokufamba
achibuda panze ndokunanga kuimba yake yekurara.Akapinda
ndokuvhara musiwo achiita zvekurovera nehasha.
"Anozviuraya mwana wevanhu uyu Promise.Ngozi yacho
munozoigona here?" vakadaro mai Norest vachiratidza
kushushikana nokuita kwemwana wavo.
"Zvaamai vakomana. Kuchine ngozi here these days?"
akabvunza amai vake achiseka zvake.
"Inoshaikwa nemhaka yei nhai mwanangu? Yuwii! Kuona
jaya rotsvikidza muswe sekahanda munhu wotofunga kuti
ndayarutsa izvo mupfungwa ijeche."
~ 71 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Zvengozi isuperstition chete izvo amai. Musada kun-


divhundutsira." Akakanda nhanho mbiri ndokundogara pasi.
"Chindiudza mwanangu, muenzi wawange uchitaura nez-
vake ndiani?"
Promise akanyemwera ndokuti,"Muchinazvo mupfungwa
nazvino here amai? Ndafunga kuti tataura nezvayo ikapera."
"Chidembo chakambovhiirwa paruzhinji kutanga riini nhai
mwanangu?" vakadaro mai Norest chiso chichinyemwerera.
" Muroora wandakuvigirai."
"Muroora?" vakabvunza semhunhu asina kunyatsonzwa
zvainge zvataurwa.
"Hongu amai. Ko baba vaenda nguvai zvavadai vasati
vasvika?" Uyu mubvunzo wainge uri wekuda kungorasa amai
vake panyaya yavainge vaparura.
"Vaenda pava nechinguva. Ndinofunga vapfuura nek-
wasekuru vavo uko kwaiva nehwahwa nezuro.Zvino ratova
barikaka iri mwanangu?"
"Haa sekuru ndasangana navo kugura uko..."
Akadaro achiita seasina kunzwa zvainge zvabvunzwa
naamai vake.
"Iwe ndizvo zvandabvunza here izvozvo? Ndati ratova
barika here iri?"
"Barika rechiizve nhai amai? Ndinoroora one wife chete
ini."
Mai Norest vakambogwesha vachiswedera pachoto ndoku-
kuchidzira moto.
"Zvino mumwe uchaita zvekudini?"
"Mumwe chii nhai amai? I am now confused nenyaya yenyu
iyi.Tadii tangosiyana nayo?" akasimuka ndokufamba achibuda
panze "Ndichambosvika kwavatete uko," akadaro atova panze.
Mai Norest vakasara vari voga muimba yekubiki-
ra.Vakasimuka ndokutora shambakodzi ndokuigadzika pamo-
to.Vakafuridza moto wainge wadzima nekuda kwemvura
yainge ichibuda mushambakodzi yainge yakatsemuka.
Vakasimuka ndokunokora zviupfu zvishoma ndokuzvikanda
mushambakodzi.Vakagwadama ndokufuridzazve moto,
~ 72 ~
Abraham Makamera

mushure ndokusimuka vave kubuda muimba yekubikira.


Vakambofamba famba nechivanze ndokuzonanga kuimba ya-
Monica. Vakasvikigogodza pasuwo ndokunzwa pasina aidavi-
ra.Vakavhura musiwo zvishomanana ndokudongorera
semunhu ari kutya. Vakaona mumba musina munhu
ndokutendeuka vave kuenda kunhanga kwaRose
vakasvikowana Rose angori ega,ari mubishi rekunyora
masvomhu
"Ko zvaungori wega maiguru vako vaenda kupi?"
"Havasati vadzoka here?" akapindura Rose achiruma ruma
chinyoreso.
"Kudzoka kubva kupizve?" vakabvunza mai Norest
vachikatyamara
"Vabuda vachimhanya. Ndafunga kuti vari kumhanyira
mukoma nekuti vabuda vakatevedzana," akavhara bhuku
raainge achinyorera ndokuriisa mubhegi maiva nemamwe
mabhuku.Amai vake vakangotendeuka vasina zvavataura
ndokuenda kuimba yekubikira. Vakasvikokuchidzira moto
wainge wave kumhova ndokubuda vamonera chichari.
"Ubike sadza kana mvura yavira. Ndichamboenda kwavate-
te vako uko," vakadaro vachifamba semunhu anonoka kumu-
sangano wasabhuku.
"Zvakanakai amai," akadavira Rose achibuda munhanga
make.Panguva iyi zuva rainge ratodzokera muna mai va-
ro.Mai Norest vakabuda muchivanze ndokupinda munzira
yainanga kwamai Muchaneta.Vaiti vakambonzonza vofam-
ba,vonzonzazve vofamba.Vakayambuka karukova Mvurache-
na ndokupota nechikomo chainge chine musha wamai
Muchaneta muzasi macho.
Vachindosvika pachivanze vakawana ari manyama amire
nerongo. Mai Muchaneta vainge varikubakwa vachinetsana
nekuvhomhora rukuni, ukuyo Promise,Monica nemumwe
mukadzi vainge vari muimba yamai Muchaneta yekubikira
muchiita semune vatambi vetsiva.
"Nhasi ndoda kukazvambaradza,kakajaidzwa kamwana
aka," vakadaro mai Muchaneta vavhomora rukuni rwavange

~ 73 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vaitira mutsimba pabakwa.


"Zvambonyanyoita seiko pano nhai tete? Ini ndirikutya
kana kutopinda mumba umo," vakadaro mai Norest vangoti
tuzu pakati pechivanze,apa maoko ainge aiswa pachipfuva
zvino.
"Makakajaidza mhani. Zvino ini ndinokazvambaradza
kwete zvekutamba," vakapaumba vachifamba kupinda muimba
yekubikira.
Monica paakaona mai Muchaneta vapinda vakabata rukuni
urwo vaida kumupaza narwo, akaikwetsura mhere iyo yaiita
seyemunhu adirwa nyimo dzinopisa kumusana.
"Ndinokuuraya iwe! Usada kundiitira mafunnies pamba
pangu wanzwa," vakapopota mai Muchaneta vachisimudza
rukuni rwavainge vakabata mudenga.
Pavakada kuti vachizamudzira vakanzwa ruoko kwii rwa-
batwa. Vakatendeuka nehasha ndokusundidzira mai Norest
kwakadaro uko. Mukadzi mukuru akati dzadzari dzadzari
nemhendeshure achindodonhera panze.Vakambotora kanguva
vari pasi ndokuzobatsirwa kumuka naMonica uyo ainge abuda
mumba achimhanya mushure mekunge apotswa nerukuni
rwainge rwakabatwa namai Muchaneta.
"Waita zvako mwanangu. Ngatibve pano tingauraiwe ta-
kasvinura sematemba" vakadaro mai Norest vachisimudza
chichari chavo chainge chawira pasi pavakadonha.
Vakafamba vachiita kunanaira,vachiratidza kurwadzi-
wa.Munzira hapana akataura nemumwe kudzamara vasvika
kumba.

~ 74 ~
Abraham Makamera

TSAURO 13

A chindosvika kumba Monica akapinda muimba yake


yekurara ndokurovera musuwo waiva kumashure
kwake.Akazvijatira pasi ndokubata musoro,misodzi ichibva
yatanga kuyerera ichidzika nematama.
"Hapana kusiri kufa apa. Ah!" Apa aitaura ega neizwi rizere
hasha.Akazunza maoko ndokusimuka kubva paainge akaga-
ra.Akarongedza mbatya dzake mubhegi rake ndokubuda
achisiya musiwo wakavhurika.Akakanda nhanho achinanga
kuimba yekubikira uko kwaiva navamwene vake pamwe chete
navatezvara vake.Akasvikogwadama pasi ndokuswedza vatez-
vara vake.Mushure mezvo akavaoneka achiti ava kumbodzo-
kera kumba.
"Ko zvaita seizve nhai mwanangu?" Vakabvunza VaZindo-
ga vachishamisika.
"Zvakaoma Shumba," vakadaro mai Norest vachibata
murume wavo muromo.Vakaenderera mberi voti,"Ndange
ndisati ndataura nababa vako maererano nezvaitika vachan-
gosvika zvino zvino."
"Chii chanyanyoitika mai Norest? Asi madzinga mwana
pano here?"
"Kwete Shumba. Mwana ange opondwa kumukunda wenyu
uko. Zvichibvawo nemwanakomana wenyu mudiki uyu anoita
seakarumurirwa mumadhirezi. Kuti ndiro basa rehuticha iroro
rinomupa kudaro kana ritoriwo shavi zvaro?"
"Taurai chaitika mbuya vaTinei."
"Ko zvaauya neumwe mukadzi. Zvanzi ndiye muroora.
Zvino amusiya kwamai Muchaneta uko.Ini ndazotevera ikoko
ndikawana pachiita sepane mutambo wetsiva,zviri zvibhakera
zvega zvega.Mukunda wenyu kutozotora danda zvanzi ndoda
kukaponda nhasi,kureva mwana agere apa uyu," vakadaro

~ 75 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vachinongedza Monica.
"Rose! Rose!" vakadaidzira VaZindoga vachishevedza
mwanawavo.
"Baba! Ndiri kuuya," akapindura achibuda munhanga
make.Akasvikogwadama pasi ndokumirira kuti baba vake
vataure zvavainge vamushevedzera.
"Tora bhegi raamaiguru vako iri uridzorere muimba mavo
umo."
"Ehoi baba" Akasimudza bhegi ndokuenda naro kumba
kwaamaiguru vake.
"Chinzwaka muroora. Chirara nhasi, totaura nyaya yenyu
mangwana.Apa ndange ndambonzwa sekuti vana baba vako
varikuuya kumapere mangwana," vakadaro VaZindoga
vachishereketa.
"Zvakanakai baba," akadaro akatsikitsira pasi.
Sadza rakadyiwa vanhu ndokuenda kundorara.VaZindoga
vakambosara vachitandara nemudzimai wavo vachifunga kuti
Promise angasvika asi vakaona nzira ingori mhepo chete.
Pavakazobuda muimba yekubikira vave kundorara nguva
dzainge dzatoenda.Ukuwo Monica ainge achiti akambogara
pasi,osimuka odongorera nepahwangwaridzo yaiva pagoni
reimba yake, odzokera ondogara pamusoro pebhegi raiva
nembatya dzake achiridza tsamwa.
Kunyangwe zvazvo VaZindoga vainge vamuvimbisa ku-
zogadzirisa nyaya yainge yaitika zuva richangonyura musi
uyu,hazvina kukwanisa kudzora pfungwa dzake dzekuda
kuenda kumusha kwavo. Ainge akangomirira kuti vanhu
varare otakura twake oenda.
Akambopuruzira dumbu rake iro rainge roita sereshato
yamedza mbudzi.Mushure akasimuka ndokudongorerazve
akanzwa panze hapasisina kana ruzha. Mazwi aVaZindoga
nemudzimai wavo aainge achimbonzwa ainge anyarara. Akad-
zokera paiva nebhegi rake ndokuritakura, nakambomira aka-
bata dumbu rake.
"Ko mwana uyu ndinozoita sei naye?" akazvibvunza achi-
taura ega.Akadzorera bhegi pakare ndokumbogara pamusoro
~ 76 ~
Abraham Makamera

paro achiratidza kufunga kwakanyanya. "Tinozongozviona.


Ivo vana mai Muchaneta vanodai kutirova nehuni vakago-
vachengeta wani vana vatatu pasina murume." Akasimuka
ndokusimudza bhegi rake.Akavhura musiwo zvishomanana
ndokubudisa musoro achidongorera kuti hapana ainge achiri
panze here. Munhu waainyanyokutotyira ndiVaZindoga avo
vaiti kana varohwa nechikara chefodya vaibuda panze voputi-
ra panze sezvo mudzimai wavo ainge asingafarire hutsi
hwefodya.
Akanzwa panze pakanyara ndokuwedzera kuvhura
musuwo.Akakanda gumbo rerudyi panze zvinyoro nyo-
ro.Paakada kuti reruboshwe riende pamberi, imbwa yaVaZin-
doga yakabva yatanga kuhukura ichienda kunzira yaibva
nechekumadokero kwemusha. Monica akadzokera mumba
achiridza tsamwa ndokuvhara musiwo zvishomanana.
Akatsveta bhegi rake pasi ndokumira akadongorera nepa-
kahwangwaridzo kaye kaiva pamusuwo weimba yake.Akaona
Promise achipinda muchivanze akaisa bhachi rake pa-
fudzi.Mwana akazadzwa nehasha ndokusimudza mupinyi
webadza waiva padyo netsoka dzake.Akavhura musiwo
zvishomanana ndokuona Promise achipinda muimba
yake.Akadonedza mupinyi uya pasi ndokutanga kufamba fam-
ba neimba yose.Akazopedzisira nekutura befu semunhu ange
akatakura mutundu wairema.
Akasimudza bhegi rake ndokubuda achisiya musiwo usina
kuvharwa.Akambomira muberere reimba yake kwekanguva
kashomanana.Akazobvapo ndokufamba achienda padare
ndokutora kachigutsa muchoto ndokufamba achidzokera
kuimba yake.Akasvikovhara musiwo zvishomanana
ndokufamba ava kubuda chivanze.Mwanasikana aifamba
zvishoma shoma akaisa bhegi raiva nembatya dzake pamuso-
ro,apa tsoka dzichipfumbura huruva semunhu ari kupfudzira
zviyo. Akanyenyeredza musha wasekuru vaPromise, ndoku-
zondopindira munzira kwave kumberi.Akasvika pamharadza-
no dzenzira ndokumbotsveta bhegi rake ndokubata muchi-
uno.Ainge ave kuzarirwa zvino, zvainge zvoti kuremerwa

~ 77 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

nembatya dzake pamwe chete nedumbu rake rainge rave ku-


mutyora musana. Akarasa chigutsa chaainge akabata kuruoko
rwerudyi ndokutakura bhegi rake ave kusimudzira nerwendo
rwake.Akasiya nzira yainanga kuchigayo ave kutora yainanga
kumba kwavo.Akayambuka rukova Nyamapere,ndokupinda
mudunhu mavo.Akamboremerwa nemakata ndokumbozorora
achangoaapedza.Haana kutora nguva,akati arusimudzira rwe-
kudzokera kumusha.Mwanasikana akafamba zvino ave kufem-
era pamusoro sendere. Bhegi raainge akatakura rainge rave
kuita serawedzerwa dzimwe mbatya zvino.Akashingirira
ndokundopinda muchivanze chavatete vake ave kunanaira
chaiko.Akasvikojatira bhegi pasi ndokugara pamusoro
paro.Akambozororo kwenguva akabata shaya.
Vatete vake mai Mavis vakanzwa kuti dhii panze
ndokupepuka kubva kuhope vachiita zvekuvhunduka.
Vakapukuta maziso ayo ainge azere mabori, mushure
ndokutsvanzvadzira pasi vachitsvaga gwenya.Vakaguma
rambi ndokubva radonha richirasa parafini. Vakaridza tsamwa
vachibuda mumagumbeze ndokufamba vachienda pamusiwo.
Vakauvhura zvishomanana, ndokushamiswa nezvavakaona
panze.
Mukadzi mukuru akavhara musiwo ndokubata pachip-
fuva,hana yavakuita kunge ngoma yeziyoni kuri kurova.
Vakachangodaro, vakanzwa pamusiwo kugogodzwa
zvinyoro nyoro asi havana kupindura. Vakamboti zvimwe
vainge vatadza kunzwa ndokumbodzikamisa hana kuti van-
yatsonzwa. Vakanzwazve gu-gu-gu,asi panguva ino zvainge
zvava nechisimba.Mukadzi mukuru akatanga kupindwa
nechando muviri wose, nekutya.Vakakanda nhanho vachibva
pavainge vakamira.Pavakakanda yepiri vakandotsika pagwen-
ya ravainge vambotsvaga panguva pfupi yadarika. Vakari-
nhonga ndokubatidza rambi iro rainge rongopfuta tambo
chete.Vakadzokera pamusiwo hana ichingorova ndokuvhura
musiwo zvishomanana.
"Ndini Monica tete" Akadaro akabata muchiuno.
"Monica! Mwana waTichaona here?” vakadaro
~ 78 ~
Abraham Makamera

vachikatyamara.
"Hongu tete."
"Ko kufamba neusiku kudai kwakanaka here?" vakadaro
vachinyatsovhura musiwo zvino vangomira vakatarisa muzu-
kuru wavo uyo ainge angozembera madziro.
"Its a long story tete," akatura befu, mushure ndokukotama
akabata mabvi ake.
"Long story,long story kuita seiko nhai? Chii chiri apo icho?"
vakadaro vachitendeka bhegi raMonica.
"Imbatya dzangu."
"Mbatya! Monica chii chaitika.Asi watiza murume here?
Hande tindogara pane bhegi rako ipapo unyatsondiudza nyaya
yako.Vakatsveta rambi ravainge vakabata ndokubuda pan-
ze.Vakatora rupasa rwainge rwakazendamiswa pamadziro
eimba yekubikira ndokugarira.
Monica akambosara akakotama achiratidza kurwadziwa.
" Huya ugare pasi mhani iwe," vakadaro mai Mavis
vakwidza inzwi.
"Ko hasha ndedzei nhai tete? Munoti..."
"Iwe! Unoti ndingasaita hasha iwe uchindiitira matakanana
akadai? Unoda ndifarire chii ipapa? Gara pasi apa." Vakadaro
vachirova rova parupasa neruoko rwavo rwerudyi.
Monica akagara pasi akatandavara, apa maoko ainge
akadzamba pasi.
"Eh taura tinzwe.Chii chanetsa?" Mukadzi mukuru ainge
anonokerwa nekuda kuziva chainge chaita kuti muzukuru
wake afambe neusiku.
"Tadii tapinda mumba tete?Ndirikupindwa nechando ini,"
akadaro Monica achipeta maoko.
"Tsvee kupindura zvandabvunza wotondiudza zvekuton-
horwa kwako pano. Imba yaunoda kupinda ndeyani? Wakasi-
ya wavaka imba pano iwe? Ndipindure zvandabvunza Mon-
ica," vakadaro vatarisa muzukuru wavo neziso rainge roita
kupenya nehasha.
Monica nekuziva vatete vake akapindura nekukurumidza,
"Tete ini ndatiza murume. Auya nemumwe mudzimai, zvan-
~ 79 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

zi..."
"Wati auya nechii?" vakabvunza vachiita sevasina kunyat-
sonzwa zvainge zvataurwa nemuzukuru wavo.
"Auya nemumwe mudzimai," akadaro izwi radzikira.
"Zvino iwe ndizvo zvawatiza here? Ungatotiza zvako iwe
wakanzwa kuti Chipoanenhumbu yaPromise."
"Hakusi kugarika uko tete,ndanzwa nekurohwa tarisai
vanga iri ndivatete mai Muchaneta," akatambanudza ruoko
achiruisa padyo navatete vake kuti vaone paainge akuvara.
"Hapana chandinomboona apa mainini. Handei mumba
mune rambi umo," vakadaro vachisimuka kubva pavainge
vakagara.Vakasimudza bhegi raive nembatya dzaMonica
ndokufamba vachipinda muimba yavo yekurara, muzukuru
wavo ari mumashure.
"Gara nechepapo," vakadaro mai Mavis vachivhara
musiwo.
Monica akagara pasi chinyararire apa ruoko rweruboshwe
rwainge rwakabata muchiuno, achiratidza kurwadziwa.
"Ko chiizve mainini?" vakabvunza mai Mavis vaona chiso
chemuzukuru wavo kuti chainge chizere nekurwadziwa pam-
we chete nekushushikana.
"Mabayo tete,zvimwe kutakura zvinorema kwandaita"
"Mbatya idzodzi here nhai mainini?" vakabvunza
mubvunzo usina akapindura ndokuenderera mberi voti,"Wati
Promise akaroora mumwe mudzimai? Uri kurevesa here
Monica?"
"Ko ndinogonyeperei nhai tete" Akadaro misodzi yazara
mumaziso. Chiso chainge chachitarisa pasi zvino.
"Nditambidze nhare yangu iri apo iyo ndimufonere.
Akajaidzwa haikona.Anombozviziva here kuti kurara neunder
age imhosva? Akaita zvekutamba ndinomusungisa," va-
katambira nharembozha yavo ndokuitinya tinya mushure
ndokuisa panzeve.
"Mati mhosva kudii tete?" akadaro Monica achibvunzisisa.
"Mira ndimbotaura nebenzi iri.Hello...eh kunogonaka sei
iwe uchitamba nematope pasina mvura?"
~ 80 ~
Abraham Makamera

"Matope apizve nhai tete?" Iri raiva inzwi raPromise rain-


gononzwikira pasi pasi richitaura panharembozha
"Zvino chinzwa ndikutaurire,unofira mujere muzukuru.
Iunder age ka iyi zvamunonyatsoziva babamudiki," vakadaro
mai Mavis vachinongedza Monica.
"Mirai ndiuye ikoko tete tinyatsotaura. Chimbomirai
kutaura zvemapurisa ndinozvigadzirisa tete.Ndava kutouya.
Ndipei 45 minutes ndinenge ndasvika," rakadaro inzwi
raPromise.
Mai Mavis vakazosara votaura vega pasisina aivapindura.
"Hello! Hellooo! Iyazve zvandangova ndega," vakadaro
vachibvisa nharembozha yavo panzeve.Ukuowo Monica ainge
ave kungopishana nepfungwa nekuda kwenyaya yainge yagu-
rirwa panzira navatete vake.Paakaona vatete vake vatsveta
nharembozha yavo pasi akabva ati ndawana mukana we-
kunyatsobvunza nyaya yavange vachitaura.
"Nhai tete mati under age mhosva kudii?"
"Iyo chiisiyai mainini, tatozvigadzirisa. Ari kusvika pano
manje manje.Chimbotseyamai muzorore zvenyu," Vakadaro
mai Mavis vachibhabhadzira Monica kumusana.
Monica akapinda mumagumbeze ndokurara, asi hope
hadzina kuuya.Pfungwa dzainge dzave kufunga nezvenyaya
yainzi inosungisa yainge yataurwa navatete
vake.Akazvibvunza mibvunzo yakawanda asi yose yaishaya
mhinduro.Akazongozviudza kuti rina manyanga hariputirwi.

~ 81 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 14

"N dibamudiki here?" vakabvunza mai Mavis vachip-


indura kugogodzewa kwainge kwaitwa pamusuwo.
"Yeah ndini zvangu,tete," inzwi raPromise rakanzwikwa
kudavira richibva panze.
Mai Mavis vakasimuka ndokuvhura musuwo,"Mava
kunetswaka kufambiswa neusiku kudai?" vakadaro vave ku-
buda panze.
"Ha-a tingati kunetswa here nhai tete?" akadaro achitam-
banudza ruoko ndokukwazisana namai Mavis.
"Mirai nditarise pachoto kuti pachine moto here,"
Vakafamba ndokusvika pachoto.Vakateta teta ndokuona
mazimbe matatu kana mana ainge achine moto.
"Huyai zvenyu tigare mumba babamunini," vakadaro mai
Mavis vave kutofamba kuenda kuimba yekubikira.Mazimbe
emoto aya ainge achiiswa mukachizenge.Vakapinda muimba
yekubikira ndokukanda mazimbe aya muchoto vakakuchidzira
huni, ndokutora zvitsotso zvaiva kuseri kwegonhi ndokuzviisa
muchoto. Mushure mekanguva vachingofuridza,moto
wakabvira mumba ndokubva maita chiedza.
"Pindai mumba babamudiki," vakashevedzera vachitora
chituru chaiva kuseri kwegoni ndokuchiisa padivi pavo.
"Gogogoi!" akadaro Promise achipinda mumba.
"Pindai zvenyu baba vemwana,garai necheapa," vakadaro
vachinongedzera chituro chavainge vaisa padyo navo.
Promise akasimudza chituru chiya ndokukanda nhanho
imwe chete achibva atsveta chituro pasi ndokugarira.
"Makasimba here tete?" akabvunza Promise achiombera.
"Tinoonei zvedu isu baba vemwana.Tototyira imi munoga-
ra muri mumasango umo," vakadavira vachisekerera.
"Haiwa,tinofara isu."
"Zvakanaka wani." Vakambomira zvishoma vachiwedzera

~ 82 ~
Abraham Makamera

huni muchoto. Vakasimudzira voti,“Ndini ndakufonerai bam-


udiki.Ndaona mwana achisvika pano usiku huno.Ndati
ndinzwe kuti zvanyanyoita seiko?"
Promise akambokwenya kwenya musoro wake ndokupin-
duro oti, "Ini zvatondishamisawo tete. Ndange ndisingatozive
kuti auya kuno."
"Babamunini handide zvekuitirwa mafunnies manzwa.
Zvenyu zvekuda kuzviita bhuru munochemberera mujeri
mazvinzwa.Zvino ini ndinoda muzukuru wangu abatwe
semunhu kwete zvekuda kumuita semhuka zvamuri kuita
izvi," vakadaro mai Mavis vachitaurira pasi.Monicawo ainge
abuda mumagumbeze ndokubuda panze.Akambofunga kupin-
da muimba yekubikira moyo ukamuti chimbomira.Akafamba
ndokundomira akazembera nemadziro,nzeve dzainge
dzachimiswa mudenga zvino sedzeimbwa yanzwa mbira
kuchema.
"Handina kumbomudzinga ini..."
"Amboti wamudzinga ndiani? Ini ndangoti handide mwana
wangu anotambiswa.Chindiudza chii chaitika kumba kwenyu
uko?" vakadaro mai Mavisi vachitandavara makumbo avo.
Ruoko rwerudyi ndokuchibata shaya vave kuchinyatsoteerera.
"Tete regai nditaure chokwadi.Ndakatizirwa kuHarare uko
nemumwe musikana wandinoshanda naye.Zvino pandauya
kuno ati anoda kuuya tichibva tauya..." Haana kupedza
andimburirwa panzira namai Mavis.
"Wava kunyepa manje. Ati ndinoda kuendawo here kana
kuti ndiwe wati handei?"
"Ndiye ati toenda tose," akapindura akatsikitsira.
"Bvaa zvakanaka baba vemwana. Handiti murikudzokera
kuHarare? Mochitorana navadzimai venyu moenda mese.
Uyuwo anongokuteverai moonawo zvekuita naye.Kana
mamutadza munongondiudza toonesana.Handizvo here?"
vakadaro vachitarisa Promise uyo ainge akangotarisa
pasi."Asi mava kutorara here baba vemwana?" vakabvunza
vachizunungusa Promise mushure mekunge angoramba
akatsikitsira asina chaaitaura.
~ 83 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Akasimudza musoro achita zvekuvhunduka, "Matii tete?


Pfungwa dzacho dzava kure, zvotiwo nehope," akadaro
achikwiza maziso ake.
"Saka ndange ndichitaura ndega zvangu?"
"Aiwa tete,ndazvinzwa zvamataura.Handiti mange muchiti
ndoenda naMonica kuHarare here?"
"Exactly baba vemwana.Inga tiri tose wani.Ko
mazoregedza mudzimai achirohwa mange muri kupi?"
vakabvunza mai Mavis vachigofa gofa muchoto.
Mubvunzo uyu wakavhundutsa Promise zvekuti akambo-
funga kusimuka paainge ari asi akaona zvichimuremera.Akati
koso koso ndokuzoti, "Zvakaoma Tete. Ndangosvikawo
vanhu vachirwa ndokubva ndazovabata."
"Ko vairweiko nhai?"
"Kwaniko. Hameno shanje dzavanoitirana navatete mai
Muchaneta. Ndatozvishairwawo pazvo..." Akabatwa muromo
naMonica ainge apinda mumba achidya marasha.
"Usanyepa Promise! Ndiwe watibata here? Dai vasiri amai
vandinunura ndingadai ndiri pano here? Handiti ndingadai
ndatova chitunha? Ko kungotaura chokwadi zvakaipei? Prom-
ise wandirwadzisa," akazopedza kutaura misodzi yazara chiso
chese. Pahuro painge pave kuita sepagarwa nebhonzo dziri
hasha.
"Chinyarara muzukuru, nyaya taigadzirisa" vakadaro mai
Mavis vachizama kunyaradza muzukuru wavo.
"Kugadzirisa chii ipapa nhai tete? Chamunonyanyoda
pamunhu uyu chiiko? Ngaangoenda kujere kwacho.Handiti
pane mhosva here?" akadaro Monica inzwi rakwira zvino.
Mai Monica naPromise vakangotarisana pasina aitaura
nemumwe.Panguva iyi Monica ainge ave kungofamba famba
neimba yose.Akati aisimudzira, "Munotoita zvekumutyisidzi-
ra? Manje ini ndiri kutomukira kupolice tomorrow. Zvanyan-
ya..."
"Iwe! Iwe! Usatinyaudza mhani.Kana zvichitoita chitoenda
nhasi chaiye. Hee kupolice,heee chino wakabatwa chibharo
here? Tidzikamirei apo.Huya ugare pasi apo," avavaivamai
~ 84 ~
Abraham Makamera

Mavis vainge vachibata muzukuru wavo muromo.Inzwi ravo


rainge razara nehasha zvekuti Monica haana kuzomboita
nharo. Akagara pasi akatandavara. Ainge ave kufemereka
zvino semunhu ange achikwikwidza mumujahwo.
"Haa,asi teteka," akadaro achibata rukuni rwaiva muchoto
urwo rwaasina kumboita nguva akabata.
"Dzorera huni iyo muchoto," vakadaro mai Mavis
vachibvuta huni yainge yakabatwa naMonica vachibva
vaidzorera muchoto.
"Munoti ndinoda kuita seiko nhai tete?"
"Zvapera mainini.Chinzwai shoko rauya nababa vemwana,"
vakambomira zvishoma vachiita sevari kufunga zvekutau-
ra,ndokuenderera mberi voti,"Zvanzi ndabva kubasa ndisina
kupiwa maoff days so vari kuda kutodzokera mangwana masi-
kati.Zvino vange vati kana zvichiita moenda mose."
"Kuenda kupi?" akabvunza Monica achishamisika.
"KuHararezve nhai.Ko anoshandepiko murume wenyu
uyu?"
"Harare."
Panguva yose yaitaurwa izvi Promise ainge ari kure mup-
fungwa. Ainge ave kutoona atova muChikurubi chaimo.
Akazozovhundutswa namai Mavis vainge vamushevedza.
"Babamudiki munenge mave kutorarawo imi," vakadaro
mai Mavis.
"Marembwa ekufamba tete. Handina kumbowana nguva
yekuzorora," akadaro Promise achishama n'ai.
"Mirai tipedze muzorore. Munenge mava kutorara
panozve, moenda mangwana."
"Matanga tete,ndinofamba ndikasvika musandityira," aka-
daro achiseka.
Mai Mavis vakanyemwerera ndokuti, "Ko vadzimai venyu
ava? Munoti pane pamuchavasiya pano here imi muchienda
Harare mose mangwana?"
Promise akashamiswa nemubvunzo uyu zvekuti
akazvibvunza, "Ndizvo zvavange vachinyemwerera nguva
yose iyi here?" akashama muromo kuti ataure manzwi ndoku-
~ 85 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ramba kubuda.
"Mazvionaka? Kutongorara pano,moenda mangwana,"
vakadaro neizwi rakanyorovera riine kakunyengengera muk-
ati.
"Yes, hapana chakaipa tete," akadaro achitwasanudza gum-
bo rake reruboshwe.
"Zvakanakai baba vemwana.Zvino tinozouyawo kuHa-
rareyo zvariini?Tinoziva mukange maenda nemhuri yenyu isu
kuno totokanganikwa."
"Haiwa munouya tete. Tinokutumirai mari mouya."
"Totenda maruva tadya chakata. Tingazvimbira maoko
tichiuchirira chirongo chemvura tichiti ingoto.Mirai ndiku-
gadzirirei pekurara muzorore," vakasimuka mai Mavis
ndokubuda muimba yekubikira vachisiya Promise naMonica
vagere zvavo.Vakaenda muimba yavo yekurara ndokubuda
vakatakura magumbeze.Vakapinda nawo muimba yaimbova
nhanga yaMonica ndokuwaridza.Vapedzazvo vakadzokera
muimba yekubikira ndokuwana vaviri vachikurukura zvairati-
dza kuwirirana.
"Chiuyai muzorore musazofambe muine hope," vakadaro
vakamira padivi naMonica.
"Ndibateiwo ruoko ndisimuke," akadaro Monica achitam-
banudza ruoko rwake kuna mai Mavis.
"Apa ndangosimuka ndega apa," akadaro achiregedza ru-
oko rwavatete vake rwaainge akabatira.
Vakatevera Promise uyo ainge atova panze kare.
"Tomutsana mangwana," vakadaro mai Mavis vachienda
kuimba yavo yekurara.
"Zvakanakai tete," akadavira Promise achitevera Monica
ainge atopinda mumba nechekare.Akasvikowana Monica ak-
agara akazendama nemadziro.Akagwadama pasi ndokubata
maoko aMonica uyo ainge ave kutosvimha misodzi.Akazama
kumutaudza asi Monica akaramba achingochema asingapin-
dure.
"Monica chinyarara kuchema titaure.I am very sorry,"
akatsvetera Promise achigara pasi.
~ 86 ~
Abraham Makamera

"Promise wandirwadzisa.Handaiziva ndizvo zvauri," aka-


daro achipukuta misodzi kumeso.
Promise akamboramba akanyarara seainge asina kunzwa
zvainge zvataurwa naMonica.
"But why...?" akabvunza Monica ave kuchema zvekare.
"Monica kanhi chinyarara," akaswedera padyo naMonica
ndokumugumbatira.
"Ok," akapindura Monica akabata pamhanza pa-
ke.Makamboita karunyararo Monica ndokuzoti,"Dzima
mwenje uyo."
Promise akagwesha ndokufuridza achidzima chibani icho
chainge chiri kachinhanho kubva paaiva.
"Ndava nehope ndave kurara," akadaro Monica achipinda
mumagumbeze.
"Ok dear chirara uzorore. Good night," akadaro Promise
achipedzisira nekutsvoda Monica pamhanza.Akapindawo
mumagumbeze asi hope dzakaramba kushanya.Akasara ave
kufunga zvakawanda.Aiti akafunga nyaya yekuenda kujere
ainzwa hana kurova.Chainge chave kunyanya kumutemesa
musoro ndechekuti nyaya dzacho dzainge dzawanda.
Akambomuka ndokugara achibva atanga kutaura
ega.Akambotora chinguva akagara ndokuzozvambarara zve-
kare,asi panguva iyi haana kuzotora nguva hope dzakabva
dzamunyangira.
Paakati achinyatsorara akanzwa pamusuwo kugugudzwa
ndokubva apepuka kubva kuhope.Akakwiza maziso ake
ndokuona kunze kwaedza. Akaona maranziezuva ayo aipoya
nepazvihwangwaridzo dzepagonhi ndokubva aziva kuti zuva
rainge rabuda.Akazungunutsa Monica uyo ainge ari kutsi
kwehope.Akamuka achiita zvekuvhunduka.
"Mune vanhu here umo," rakanzwikwa izwi ramai Mavis
richishevedzera riri panze.Vakazoenderera mberi neku-
gogodza pasuwo.
Promise akadavira,"Ehe tirimo tete."Akataura achisimuka
kubva paainge akagara ndokuzvitatamura achizamura.
Uyuwo monica ainge achingozamura akagara pasi.
~ 87 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Promise akavhura musuwo ndokubuda panze.Akamutsana


namai Mavis avo vainge vari kuchitara vachisuka hari
dzavainge vabikira mauro ainge apfuura.
"Ko asi vadzimai venyu vakacharara here?" vakabvunza
mai Mavis.
"Aiwa amuka zvake. Ari kungochema musana,zvanzi uri
kurwadza," akadaro achinyepa zvake.
"Mamuka sei tete?" akadaro Monica achifamba ndokusvi-
komira paiva naPromise.
"Ndamuka mainini. Uri sei musana wandanzwa kuti uri
kudzimba?" apa vaitodzumburudza hari dzavainge vakwesha
vachizodziturika pachitara.
"Kwaaniko?Anonyepa uyu. Hausi kurwadza," akapindura
achirova Promise kumusana nembama.
Mai Mavis vakapedza kusuka ndokugadzirira vaviri ava
chekudya.Vapedza kudya vakagadzirira ndokubva vapinda
munzira vave kudzokera kwaVaZindoga.
"Ini ndave kudzokera vanhuwe. Mofamba zvaka-
naka.Musazotikanganwawo kuno," vakadaro mai Mavis vave
kuparadzana naPromise naMonica.
Zvino maenda musina kuonana naTapiwa anouya
akatsamwa nhasi," vakashevedzera mai Mavis vave chinhanho
vachidzokera kumba kwavo.
Promise naMonica vakananidzana vachitaura zvakasiyana
siyana. Vachindopinda muchivanze chaVaZindoga vakawana
VaZindoga nevanin'ina vavo vaviri vakagara pan-
ze.Vakakwazisana ndokubva Promise naMonica vapinda
muimba yekubikira umo maiva nemudzimai waVaZindoga,
mai Muchaneta namai Tinei vanova ivo vainge vakasiirwa
mukaka namai Muchaneta.
Mushure mekukwazisana, Promise naMonica vakagara
pasi.
Chakashamisa vaviri ava ndechekuti pavanhu vaiva mumba
hapana airatidzika kufara. Zviso zvavo zvainge zvakangosu-
wa.
"Ko kwakanaka here nhai amai zvamabva maita semunhu
~ 88 ~
Abraham Makamera

anorwara?" akabvunza Promise aona chiso chaamai vake avo


vairatidzika kushungurudzika zvakanyanya.
"Kunogonaka chii? Unoda kuti mai vafe nekufunga here
nhai Promise?" ava vaiva mai Muchaneta vaipindura Promise.
Promise akamboramba akanyarara achifunga kuti zvimwe
vainge vachifunga kusarara kwavakaita pamusha apa mauro
ainge apfura.
Akakosora achishereketa ndokuti, "Ndizvo zvingavakwidza
BP here nhai tete? Hatisi vana vadiki vekutadza kuziva zvati-
noita tete."
"Unopenga chete mwana iwe? Vaenzi vari panze apo
wavaona here?" vakabvunza mai Muchaneta izwi ratokwira.
"Muri kureva vanababa vakagara pamumango apo here?"
"Ndingati vaenzi ndichireva vana baba vako here? Pane
mhuri yako iri kumuranjisi uko."
Promise akasimuka achiita zvekusvetuka.Akabuda mumba
achifambisa ndokuenda kwainge kwarehwa.Akashamisika
kuona kune vanhukadzi vatatu vakagara pasi pemuranjisi. Pa-
vanhu apa paiva nemusikana ainge akagaraakapfinyachisero.
Akambomira asati asvika paiva nevanhu ava.Akasanganisa
maziso ake nemusikana uyandokubva vazivana.Akatendeuka
ndokufamba ava kudzokera kuimba yekubikira.Akasvikogara
pasi akabata musoro.Monica akamutarisa ndokuona chiso
chaPromise chasanduka.Akada kumubvunza kuti kwainge
kwakanaka here asi hapana akamupindura.

~ 89 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 15

P romise haana kuzoenda kuHarare musi waainge aka-


tarisira mushure mekunge paine dzimwe nyaya
dzainge dzanyuka.Akafonera kubasa achikumbira mazuva
akati kuti achiitira kusiya agadzirisa nyaya idzi.
Pakapera mazuva maviri mushure mekunge abva kumba
kwamai Mavis, akamuka mangwanani ndokuenda kwavatete
vake. Achingosvika akawanawo vachangomuka.Akavamutsa
ndokupinda mumunda wechibage.Akadzoka abata miguri mi-
viri yechibage ndokupinda muimba yekubikira.Akasvikogara
pachituro icho chaainge aisirwa navatete vake.
"Ko hamuna kurara madya here zvamamukira chibage
kudai?" vakabvunza mai Muchaneta vachiwedzera hu-
nimuchoto.
"Kwaaniko tete. Ndakarara ndakagutisa zvisingaite.Chete
handina kubvira ndambodya chibage kubva zvandauya,"
akataura mashoko aya achibvisa chibage chiya mashizha.
Akaisa chaainge abvisa mashizha mumoto ndokumbosara
akabata chimwe chacho.
"Chindipa icho ndikugochere nechepano pakanaka."
Promise akatambidza chibage chiya vatete vake ndokuti,
"Ko vazukuru venyu vaenda kupiko zvandisina kumbovaona
kubva zvandasvika?"
"Vanombogara pasi here? Vaenda mugomo umo. Zvanzi
toda kundotsvaga huni," vakadaro vachiisa chibage chiya mu-
choto.
"Waita zvakanaka watouya kuno. Ndaitoshaya kuti
ndotaura newe sei pasina vanhu.Dzora musiwo uyo," vaka-
daro mai Muchaneta.Promise akasimuka ndokuvhara musiwo
zvishomanana.Akadzoka ndokugara pasi asina chaataura.
"Nhai mwana wehanzvadzi yangu, mhuri yako iyi un-
oigona here?"

~ 90 ~
Abraham Makamera

"Teteka, zvakaoma.Kutaura chokwadi ndiri kushaya hope


nenyaya idzodzi."
Mai Muchaneta vachinzwa manzwi aya vakanyemwerera
zvekuti Promise akashaya zvazvaireva.
"Zvino muchatadza kurara kusvika riiniko Shumba?
Handiti ndiyoyi nguva yacho yekuzvigadzirisa zvisati
zvakomba here?" vakadaro vachishandura chibage chainge
chiri pachoto.
Tete zvakaoma. Ndiri kutoshaya kuti ndotangira papi
chaizvo."
"Muzukuru, chirega kuita semwana wanzwa? Sarudza
mudzimai waunoda pavakadzi vako vatatu ava. Asi kana wati
woita barika usazotinetsa mangwana," mai Muchaneta vaka-
daro vakatarisa Promise uyo ainge akangotsikitsira.
"Chinonetsa ndechekuti ndikatora umwe, ko vamwe vaviri
vanozoita sei? Kana ari seuyu teacher uyu anoswera asvisungi-
rira ndinokuudzai."
"He-he-de!Kuzvisungirira? Seka zvako mwana waNya-
muzihwa" vakadaro vachiseka, ndokusimudzira voti,"Saka iwe
ungatya munhu anozviura? Handiti upenyu ndehwake?"
"Hongu tete," akapindura achiita semunhu ainge ave kutya.
"Zvino pavaviri vasara ava,pane wauchatya here? Mai
Tavonga ungavatya iwe?"
"Ndipo pane nyaya hombe ipo paye tete."
"Nyaya yeizve Shumba?" vakambomira zvishoma vachi-
funga kuti Promise angavapindura asi akaramba
akanyarara.Vakabura chibage ndokuchiturika papfihwa.
Vakakuchidzira moto ndokuti, "Iye munhu uya
mukasamungwarira ari dangerous zvisingaite. Zvanda-
kakuudzai paye hadzisi nhemha dziya shumba.Ndange
ndaurawa."
"Munoziva tine mhosva here ipo paye teteyekuti ndinogo-
na kuenda kujere?" Promise akataura mazwi aya ava kuita
semunhu ava kuda kuchema.
"Iyo ndinoiziva. Panoda kungwarirwa.Tete vacho chete
ndivo vanoita sevane ruzivo apa hapana chinozivikanwa.Zvino
~ 91 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ngavachitanga ivo,kana isu tichizotevera tozotevera,asi


hatitevere mhani."
"Votanga chiizve nhai tete?" Akabvunza Promise achisha-
ya kuti tete vake vairevei.
"Handiti mati uyo chero akazviuraya hazvina basa?"
"Hamenoka tete?"
"Promise kwana wazvinzwa?Chaunoti hameno chii ipapa?
Ndinokuendesa ndega kumapurisa ikoko.Usanditsamwisa
wanzwa. Unoda munhu anokubatsira zvakaita sei?" vakadaro
mai Muchaneta vachipopota.
"Tete musadaro.Ndibatsireiwo," akadaro achipfugama pasi.
Haaitadza kupfugama nekuti tete vake aivaziva.Zvavainge va-
reva vanenge vareva zvechokwadi.
"Simuka ugare apo mhani," vakadaro mai Muchaneta
vachiita sevacharova Promise nembama.
Promise akati kwanyanu ndokugara pachituro, apa chiso
chainge chasanduka zvino.
"Ndichataura namai vemukadzi wako mudiki uyu. Ndivo
vanonyatsowirana nemhuri yekwaBvudzijena,uye panenge
pane hukama pakati pavo."
"Muri kuda kuti vadzokere here mai Tavonga? Havam-
bobvume,izvo ndinozviziva," akadaro Promise achisimudza
maoko mudenga.
"Ambotaura zvekuti adzokere ndianiko? Ko waizviitireiko
uri gwara kudai?"
"Handisi kutya ini tete."
"Ndange ndichitaura nezvei zviya?" vakadaro vakatarisa
mudenga vachiita semunhu ari kufunga.
"Nezvekuona mai vaChipo," akadaro Promise achisimudza
chibage icho chainge chatopora.
"Exactly! Ndichavatuma vondotaura navatete vamai
Tavonga pfungwa iri yekuti vana vagarisane zvakanaka
pano.Pakadini Shumba?"
"Pakanaka tete"Akapindura promise achitsokonora chibage
kubva pamuguri waainge akabata.
"Saka mazoti vogara vose here?" Akabvunza mushure
~ 92 ~
Abraham Makamera

mekunge akanda chibage chiya chaainge atsokonora mu-


muromo.
"Stage by stage Shumba. Handiti ndizvo zva...?" Havana ku-
zopedza kutsanangura vanzwa pamusiwo ku-
gugudzwa.Vakakanda maziso ndokusanganisa maziso nea-
Monica uyo ainge achipinda mumba umu.Vakakwazisana asi
chiso chamai Muchaneta chairatidza kusafarira Monica.
"Regai ndiende kuya Nyamuzihwa, simbi inoda kurohwa
ichapisa," vakasimuka ndokubuda vachisiya Monica
naPromise vari mumba umu.Vakaenda kuimba yavo yekurara
vakamboti nyaa varimo ndokuzobuda vakapakata chichari
papfudzi.
"Ndave kuenda Shumba. Ndinoda kusiya ndakiya musiwo
wangu,"vakadaro mai Muchaneta vakamira pamusiwo.
"Muri kuenda kupiko mangwanani akadai tete?”akabvunza
Monica asina kuziva kuti ainge azvidenhera nyuchidzegonera.
"Ndizvo zvawafambira kuno here iwe? Ini ndakagara
ndataura kuti handide kuona rutsoka rwako pamba pangu.
Iwe wava kuti tusva tusva uchimisa zidumbu rako rinoita
semunhu anekwashi sezvinonzi wauya kwaamai vako pano.
Ndinokuputitsa manje manje so," vakapopota mai Muchaneta
vachipinda mukati.Monica zvaakaona mai Muchaneta vachi-
famba kuuya kwaari akagwesha achiswedera paiva naPromise
uyo akangoramba akatsikitsira achidya chibage.
"Usandidenha ndinokutibura wazvinzwa?" vakadaro mai
Muchaneta vakabata Monica nebvudzi vachimukweva.Monica
aingogwesha achivateverera.Pasina kana nguva maziso ake
ainge atsvuka kuti piriviri semhiripiri.
"Ndatonyara muzukuru wangu ari apa uyu.Ndingadai
ndakupedzera.Uri kutsvagei kuno?" vakadaro mai Muchaneta
vachiregedza musoro waMonica.
"Ndatumwa kuna baba vaTavonga vari kudiwa nababa,"
akadaro Monica achipukuta misodzi iyo iyo yainge yazara chi-
so chese.
"Vanotuma iwe ko Rose haako here?"
"Vaenda kuchikoro" Akapindura Monica achibata musoro
~ 93 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wake uyo wainge wave kupisa.


"Kusatonyara! Vamwe vana vezera rako varikuita
zvechikoro, iwe uri kungomisa kamimbamuteku kako pano.
Udzikame mwana iwe,” Vakapedzisira nekubaya baya Monica
pamhanza."Wazvinzwa here?" vakadaro vave kubuda mumba
umu.Monica haana kupindura, akangoramba akanyarara.
"Ndaenda ini Shumba. Mukaenda pasina auya munokiya
door makeys moaisa muberere rehozi iyo," vakadaro vachi-
nongedza hozi yaiva nechekumadokero kwemusha wa-
vo.Vakabuda muchivanze vave kunanga kumusha kwavaMafe-
tu uko kunova ndiko kwaiva nemhuri yavaGaza.
Vachindosvika vakawana muroora wavaGaza,vanova mai
vaChipo, vakagara zvavo mumba mavo. Vakapinda mumba
ndokukwazisana navasahwira wavo.Mushure mekubvunzana
upenyu vakaiparura yavainge vafambira.
"Nyaya ingoripo ndeyekuti mwana agare asina mumwe
anomuvhiringa vasahwira,ndiko muchiona ndichimira mira
kudai," vakadaro mai Muchaneta.
"Zvino yamataura iyi ndiani anozviita? Ko kana mwana
wekwaBvudzijena akazviramba atizopisire here?" vakabvunza
mai Chipo mushure mekunge vafunga zvakati dzamei.
"Ndinofunga mukaipira kuna tete vamai Tavonga sez-
vandataura handifunge vangazviramba.Akashinga mukadzi
uya, uye anoda zvemari. Ndichangoti Promise atsvage
pashoma mozondovasiira," vakadaro mai Muchaneta vachiny-
emwerera.
Mai Chipowo vakangonyemwerera ndokuti,"
nakai vasahwira."
Zvimwe zvakarongwa ndezvakarongwa, zvava kutoda ivo
vaviri. Mai Muchaneta vakazobuda vakadungamidzana
naamai Chipo avo vaizondopfuurira kuenda kwavaBvudzijena.
Vakapfuura nekwamai Muchaneta uko vakandopihwa mari iyo
yaizondosvitswa kuna mai Mavis. Mai Chipo havana ku-
zogarisa vari pamai Muchaneta sezvo nyaya yavo yainge
yapihwa musoro wekuti, "Inorohwa ichapisa".
Vakapinda munzira ndokunanga kwavaBvudzijena.
~ 94 ~
Abraham Makamera

Vaivaona vaingoti hameno kunomhanyirwa nekuti vaiita


zvekupfumbura huruva nemakumbo ayo ainge asingachan-
yatsosimuka.Amai Chipo ainge ari mukadzi mutsvuku,vari
mukobvu zviri pakati nepakati.Pamakore vainge vakura amai
ava,ndivo vaya vaitingati vana chiramba kusakara dehwe
remvuu. Zviito zvavo zvainge zvisingachaenderane nezera
ravo.Waizotofungira kuti amai ava vakura wavaona vachi-
gugudzira nhekwe yefodya pachanza.
Vachangoyambuka rukova vakaona mai Mavis vari mu-
munda mavo vachitsvara nyimo.Muzukuru wavo Tapiwa
ainge agere pamusoro pedomo raiva pakati pemunda uyu
achidya ipwa.
Vaviri ava vakakwazisana ndokubvunzana hupenyu se-
vanhu vainge vave nenguva vasati vaonana.
"Chiregai ndipedzise kutsvara nyimo dzangu dzekubika
tiende kumba," vakadaro mai Mavisi vachisimudza badza rav-
ainge vatsveta pasi.
"Chimbomira izvozvo sahwira.Nyaya yandafambira inoko-
sha kudarika zvose izvo.Handiti unoziva muzukuru wako ndi-
vahosi vemwana wangu?" vakadaro Mai Chipo.
"Hongu," vakakanda badza riya pasi ndokugara pasi van-
yatsoterera.
"Zvakanakai ambuya. Ndati regai nditaure nemi.Ndinofara
kuti hukama hwawedzera kusimba. Chakakosha rudo kwete
ruvengo," vakadaro vachipukuta fodya yainge yasarira
muchanza chavo.
"Chokwadi mataura,munoona zvatinoita isu ndizvo
zvinofanira kuita vana ava," vakatsinhira mai Mavis.
"Ipapo waribaya bveni nemumukanwa chaimo.Ndiyo yan-
yaya yandanyanyofambira ini nekuti chonetsa ndeuyu anozvii-
tawo musalad akabviwa naye Harare.Haazokanganise vana
vedu here?" vakataura mashoko aya vachida kunzwa pfungwa
dzaamai Mavis.
"Ndakambozvifungawo izvozvo. Zvino poitwa seiko
zvazvadai? Kwatova kutotamburazve uku?" vakabvunza mai
Mavis vachiombera maoko apa chiso chichiratidza kupererwa.
~ 95 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Mai Chipo vakashereketa vachisunungura mari yainge


yakasungirirwa padhuku yavainge vakasunga mumuso-
ro."Ndange ndichatokanganwa pasuro yenyu iyi yabva ku-
mukwasha," vakadaro vachitambidza mai Mavis mari ya-
vainge vapiwa namai Muchaneta.
"Maita basa sahwira," vakadaro vachiombera.
"Munotenda ini ndini ndakupai here? Chitotendai muku-
washa, pamwe ndiko kekupedzisira kudya pfuma yaZindoga,"
vakadaro vakatarisa mai Mavis avo vainge vari mushishi
yekusungira mari iya pachichari chavainge vakamonera.
Mai Chipo vakazopira mai Mavis zvavaifunga maererano
nemudzimai ainge auya naPromise kubva kuHarare. Mai Ma-
vis vachizvinzwa hana yavo yakamborova zvekuita
seichatsemuka. Yakazotodzikama pavakanzwa kuti mai
Muchaneta naiye Promise wacho mbune vainge vachitsigira
pfungwa iyi zvekuti vakazotopedzisira vave kutopembera.
Chisina kuzivikanwa naamai Mavis ndechekuti vainge vari
kufarira n'anga neinobata amai.

~ 96 ~
Abraham Makamera

TSAURO 16

K wakafuma kuchipfunha pfunha,kuine kamhepo kaiton-


hora. Kunze kwainge kuzere mhute iyo yaipwititika
mumakomo ainge akatenderedza dunhu raishe Musukutwa
umo maiva muine musha waVaZindoga. Monica akamuka
rungwanani ndokutsvaira chivanze chavamwene vake.
Apedzazvo akatora mugomo ndokunanga kutsime. Achin-
dosvika patsime akatsveta mugomo pasi ndokufamba
zvishomanana achipinda murwizi.Akakotama ndokugeza ku-
meso kwake.Apedzazvo akadzokera paainge asiya mugomo
wake ndokusvikousimudza ava kuenda kundochera mvu-
ra.Akasvikopfugama pamatanda ainge akavhara patsime
ndokutanga kuchera mvura achishandisa komichi yaigara
patsime ipapo.Akati chubvu rwekutanga ndokubudisa komichi
izere mvura ndokuiteurira mumugomo.Paakadzorera komichi
rwepiri akanzwa yava kuramba kunyura mumvura.Akateta
teta mumvura achishandisa komichi iya ndokunzwa semainge
mawira zidanda.
Sekunze kwainge kusina kunyatsochena akabuditsa nhar-
embozha yake ndokubatidza mwenje. Akavheneka mutsime
ndokuona ari munhu akatopapamara mumvura imomo. Akati
kwarakwashu, hana yava kupadagura.Akambomira akabata
pachipfuva kwekanguva, pfungwa dzichiita chamurambamhu-
ru nekuzama kubatanidza zviitiko nekuti oita sei zvino. Kuti
ainge ari ani ainge afunga kuzviuraira mutsime umu?
Akazopinda munzira ava kunanga kumba kwavatezvara
vake. Achindosvika kumba akawana vamwene vake vamu-
ka.Akavakwaziza ndokuvarondedzera zvaainge asangana
nazvo. Vachinzwa izvi mai Norest havana kumboda kubvunza
zvakawanda wanda. Vakangotendeuka ndokugadaira vachip-
inda muimba yavo yekurara. Vakasvikomutsa murume wavo
ndokumuudza zvavainge vaudzwa nemuroora wavo.

~ 97 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Munhu? Anyatsoona here muroora wenyu uyu?"


vakabvunza vaZindoga vachisimudza kanhava kavaiisira
chimonera chavo.
"Izvo motobvunza iyeka nhai," vakadaro mai Norest vaka-
tarisa murume wavo uyo ainge ari mubishi rekutsvaga bepa
rekumonera fodya.
"Motomboita zvefodya nhai Shumba imi muchinzwa kuti
kune munhu azviuraya uko? Madii mamhanya mandozvionera
mega? Munodarika muchitora sahwira wenyu sekuru vaNgo-
ni,moenda mose," vakadaro vave kubuda mumba.
Monicawo ainge akangomira pakati pechivanze,maoko
akapetwa semunhu ari kutonhorwa.
"Mamuka sei baba?" akadaro Monica achigwadama
achiomembera.
"Tamuka wamukawo mwanangu? Ko waoneiko kurwizi
uko?" ava vaiva VaZindoga vaibvunza muroora wavo
vachimona chimonera.
"Ndaona munhu mutsime baba."
"Waona munhu chaiye here iwe?" vakabvunza mubvunzo
uyu vava kufamba kuenda kuimba yekubikira uko vakasviko-
batidza fodya yavo ndokubuda vakairuma.
"Saka haumuzive here munhu wacho?"
"Handina kumbonyatsomutarisa ini baba ndange ndava..."
Haana kuzopedza kutaura sezvo vamwene vake vaipindirawo.
"Nhai Nyamuzihwa,madii maenda mandozvionera mega?"
"Ko Promise aripo here?" vakabvunza VaZindoga vachi-
famba kuenda muhozi iyo yaigara midziyo yavo yaisanganisi-
ra matemo, uta, miseve nezvimwewe.
"Hongu ndavasiya vakarara," akadaro Monica achisimuka
kuenda kuimba yake yekurara.Akambotora kanguva arimo
ndokuzobuda akadungamidzana naPromise uyo aingozamura
nekuzvitatamura.
"Ko baba vatoenda?" akadaro Monica achibvunza vamwene
vake.
"Hongu ndatozoita zvekudzinga chaiko.Huyai mumba,”
vakadaro vachifamba kupinda muimba yekubikira.Monica
~ 98 ~
Abraham Makamera

naPromise vakavatevera ndokusvikondogara pasi.


Promise akatsanangurirwa zvainge zvasanganikwa nazvo
naMonica paainge aenda kundochera mvura.
"Vanhu vanopenga haikona? Ungafira mutsime rinonwiwa
nerainirese ashaya kumwe kwekuzviurayira here?" akadaro
Promise achishereketa.
"Zvinowanikwa mwanangu.Mira tinzwe baba vako kana
vadzoka," vakadaro mai Norest vachitaura nemwana wavo.

VaZindoga zvavakabva pamba vakadarika vachitora


sahwira wavo VaZvidzai avo vaishevedzwa nezita remuzuku-
ru wavo,sekuru vaNgoni.Vakavatsanangurira zvainge
zvasanganikwa nazvo nemuroora wavo.VaZvidzai semunhu
mukuru havana kuda kuzonzwa zvizhinji. Vakangotorawo
demo ravo ndokuriisa papfudzi.
Varume vakadungamidzana vakananga kurwizi. Vachin-
dosvika kurwizi vakasvikirana namai Muchaneta avo vainge
vaine mugomo.
"Kwakanaka here kwakatakurwa masanhu kudai? Mafun-
gepiko mangwanani akadai?" vakadaro mai Muchaneta
vachiswedera paiva naVaZindoga nasahwira wavo.
"Kunogoipei zvako?" vakadaro VaZindoga ndokukweva
chigusvani chefodya mushure ndokuchikanda pasi vava ku-
chitsokodzera nemanyatera.
"Hamuna kumbosangana nemuroora wenyu here?" vaka-
daro mai Muchaneta
"Munoreva mai Tavonga here?" vakapindura VaZindoga
vachifamba kuenda patsime.
"Kwete,ndinoreva uyu akabva kuHarare. Auya kuno kuzo-
chera mvura. Zvino ndaona ati nyaa ndikati regai nditeve-
re.Ndiri kutoshamisika kusvika pasina munhu," vakazopedza
kutaura VaZindoga vainge vasingachazviteereri.
"Bata apa sahwira tibvise danda iri," vakadaro VaZindoga
vachitaura navaZvidzai.Varume vakabatirana danda raiva
rakavhariswa patsime ndokuritsveta kachinhanho kubva
patsime.

~ 99 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

Vakadzokera patsime ndokutarisa mutumbi waiva mumvu-


ra.VaZvidzai semunhu ainge asati amboona munhu uyu va-
katadza kumuziva.VaZindogawo vakaramba vakangoti ndee
mumvura.
"Mamuziva here munhu uyu?" vakadaro VaZvidzai
"Hongu," vakapindura misodzi ndokutanga kuyerera ne-
matama.
VaZvidzai vakangoti kana nazvo.
"Nyamuzihwa zvaita sei?"
"Musha wangu waparara..." Vakatadza kupedza kutaura
misodzi yainge yongochururuka.
VaZvidzai vakazvishaira shumo yazvo. Vakazama kufunga
zvaireva mashoko ainge ataurwa naVaZindoga asi vakatadza
kuzvinzwisisa.Vakashevedza mai Muchaneta avo vainge
vakangomira chinhanho kubva patsime.Havana kumirira kuti
mai Muchaneta vasvike pavaiva.Vakafamba ndokusanagana
navo,ndokuvatsanangurira zvavainge vafambira nezvevainge
vaona.
"Zvino imi mamuziva here munhu wacho?" vakadaro mai
Muchaneta vachiratidza kutya.
"Kwete asi sahwira wangu uyu ati anomuziva.Ini handisati
ndambomuona ini."
"Ndinokwainisa zvangu kumuona here?" vakabvunza mai
Muchaneta vava kutofamba kuenda patsime.
VaZvidzai vakazongogutsurira musoro ndokutevera mai
Muchaneta.
"Ko zvaita seiko Shumba?" vakabvunza vachiswedera
padyo nepaiva nehanzvadzi yavo.
"Zvakaoma tete. Musha waparara uyu," vakadaro vachi-
nongedza mutsime.
Mai Muchaneta vasvikokanda maziso mutsime ndokuram-
ba vangoti ndee semunhu abatwa nebuka.
"Nhai Sahwira ngatimbosudurukai titaure zvishomana,"
vakadaro VaZvidzai vachibata VaZindoga ruoko. Vakafamba
zvishomanene ndokundomira vabva patsime.
"Ndiani munhu uyu?"
~ 100 ~
Abraham Makamera

"Sahwira nyaya ihombe iyi.Mukadzi ane mutumbi uri


mumvura umu akauya nemwana wangu teacher uyu kubva
kuHarare.Zvino ndapererwa ini," vakadaro vachidzungudza
musoro.
"Ko zvino aigara kupi?"
VaZindoga havana kuzokwanisa kupindura mubvunzo uyu
vanzwa mukunda wavo akwetsura mhere.Vainge vachigara
pasi zvino mai Muchaneta.Mukadzi akabongomora iyeye.
VaZindoga naVaZvidzai vakazoenda pavaiva ndokundovan-
yaradza.
"Hakuna mumwe,ndiye amuuraya chete.Ndakakuudzai
mukoma kuti muroora wenyu wamada uyu achakupari-
rai.Chitarisai kwazvava," vakadaro mai Muchaneta vachipu-
kuta zvimisodzi zvaiva zvakangojenga mumaziso.
"Chimbomirai zvekupumhanha vahanzvadzi timbotanga
tazivisa sabhuku pamwe chete nemapurisa," vakadaro VaZvi-
dzai.
"Zvinondirwadza sekuru vaNgoni. Sahwira wenyu nda-
kavaudza ava. Ndini ndingadai ndakatotanga kufa ini ipo pano
patiri pano," vakadaro vachisimuka kubva pavainge vakagara.
"Chiregai ndimhanye kwasabhuku ndisiye sho-
ko.Ndozotuma mukomana amhanye kumapurisa nebhasikoro.
Ndiri kudzoka zvino zvino,” vakadaro VaZvidzai ndokubva
vave kuenda.
VaZindoga vakasara nehanzvadzi yavo vachifunga kuti chii
chainge chingadai chakonzera rufu rwemukadzi uyu.
"Ini handisi kupikisa nekuti ndimai Tavonga vauraya muk-
adzi uyu, asi ndiri kuti kana zvikazoonekwa kuti haasiriye
tichapaita sei nhai hadzvadzi?" vakadaro VaZindoga ndoku-
tora chimonera chavo.Vakambochisukuta sukuta kwekanguva
ndokuzobuditsa bepa vava kumona.
"Ko ndipindureika nhai nhai maSibanda.Ndati tinozopaita
sei apa?" vakabvunza vaona mai Muchaneta varamba vango-
nyarara.
"Imi sei muchitsigira mai Tavonga nhai Nyamuzihwa?
Tarisai uyu aenda uyu,ihondo yemurume iyi. Ndava kutotyira
~ 101 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

mwana wavasahwira vangu akauya kuswera nezuro


uyu.Anogona kutoteverawo ipapa," vakadaro vakatsikitsira.
"Uri kurevei nhai hanzvadzi?"
"Imi ndimi makakanganisa Shumba. Hamaifanira kuramba
mwana wekwaGaza uyu motambira wekwaBvudzijena.Tarisai
kwazvasvika. Apa mwana wekaGaza mava nayezve mumusha
menyu.Mukasapangwarira munomuchema zvino zvino mwa-
na wevaridzi uyu.Munozopaitawo sei?" Vakadaro mai
Muchaneta vakatatarisa hanzvadzi yavo.
VaZindoga vakangoti kanha nemashoko aya ndokusimuka
vave kundomira kachinhanho vachiputa fodya yavo.Murume
mukuru aiti akakweva fodya ombotora kanguva akafunda utsi
vozohufuridzira mudenga.Chiso chavo chairatidza kushun-
gurudzika zvakanyanya.

VaZvidzaiwo zvavakabva patsime vakandosiya shoko


kwasabhuku ndokunanga kumba kwavo uko vakasvikotuma
mwana wavo kukamba yemapurisa iyo yaiva iri chinhambwe
kubva mudunhu iri.
Sekuziva kwatinoita shoko inhondo,nyaya iyi yainge
yatotekeshera dunhu rose nemamwe ainge akaritenderedza.
Kumbawo kwavaZindoga kwainge kusisina mufaro.Pasina
chinguva chivanze chainge chatozara vanhu avo vaingotaura
zvakasiyana siya maererano nefiro yainge yaita mukadzi
uyu.Vamwe ndivo vaiti Monica, uyo ainge ave kushevedzwa
nezita rekuti mai Tavonga,ainge auraya mainini
vake.Vamwewo vachiti ainge azviuraya.Asi vazhinji vavo
vaiwirirana nepfungwa yekuti mukadzi uyu ainge aurawa
naMonica nekuda kweshanje dzekutorerwa murume. Uku
ndiko kunonzi nevakuru kuva nechimene chezizi chekuti para-
famba rinonzi muroyi.
VaZvidzai zvavakatuma mwana wavo,havana kuzotora
nguva vari pamusha pavo.Vakapinda munzira vave kudzokera
kutsime uko vainge vasiya sahwira wavo.Vakasvikowana Sa-
bhuku nevamwe varume vedunhu iri vasvika.Vakavakwazisa
ndokugara pasi vakamirira kusvika kwemapurisa.Mushure
~ 102 ~
Abraham Makamera

mechinguva mapurisa matatu akabva asvika akadungamidza-


na nemwana wavaZvidzai.Vakaradzika mabhizautare avo pasi
ndokubatana maoko nevanhu vaivapo.Umwe mupurisa
wechikadzi akakumbira kuona VaZindoga namai Muchan-
eta.Akavabvunza mibvunzo yakati wandei,zvose zvavaipin-
dura achizvinyora pasi.Umwe wechirume ainge asina kupfeka
hembe dzechipurisa, ndiye aingotenderera panzvimbo iyi
sepane zvaaitsvaga.Wetatu ndiye ainge akamira patsime raiva
nemutumbi wemushakabvu.
Uya aingofamba famba akaona matsimba ebhara necheku-
musoro kwetsime ndokushevedza mumwe wake uyo ainge
apedza naVaZindoga pamwe chete namai Muchan-
eta.Vakataura vari vaviri uya wechikadzi ndokuzonyora
pasi.Vakatevedza matsimba ebhara ayo avakashaya kusina ku-
re kwavaenda. Pavakati vachidzokera patsime, uya wechikadzi
akabva asanganidzana maziso ake nenhekwe yefodya iyo
yainge iri muswa umo mairatidza kuti mainge mam-
botsikwa.Vakaisimudza ndokubva vambomira uya wechikadzi
achinyora. Vakazodzokera patsime apo painge pane mumwe
wavo. Vachindosvika uya ainge ari patsime akavatambiza
chipepa chaainge atora kubva mutsime.Vakachibhedhenhura
vachiita zvekunyengerera chaizvo.Vakaona paine mazita ainge
akanyorwa ayo ainge akanyorwa mari kumberi kwawo.
Mamwe emazita aya ainge asingachatsooneka kusiya
kwerimwechete.Uya mukadzi wekungonyora nyora akangoita
sezvaaingoita kumwe kwese.
Paiitwa izvi vanhu vose vainge vakangogara pasi vachitari-
sa zvaiitwa nemapurisa matatu aya.Apedza kunyora mupurisa
wechikadzi akafamba achipinda murwizi umo maasina
kumbotora chingova arimo.Akabuda akabata chitupa icho
chaiva nezita rechikadzi.Akasvikotambidza vamwe vake kuti
vaonewo. Vakazoti vapedza zvavaiita,mutumbi wakazo-
buditswa mumvura wakatakurwa ndokuendeswa kuchipatara
chihombe chedunhu iri uko kwawaizondoongororwa.
Monicawo akatakurwa nemapurisa sezvo ainge anyoreswa
namai Muchaneta kuti ndiye munhu wavaifungira kuti ainge

~ 103 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

auraya mukadzi uyu.


"Ndakuudzai vasikana kuti mai Tavonga ndivo vauraya
mainini vavo," akadaro mumwe mukadzi aona monica ave
kuenda nemapurisa.Monica haana chaakataura. Akangoita
sezvainge zvarehwa nemapurisa ndokuenda misodzi ingori
pamatama.Promise akambosara akagara achitarisa mapurisa
aya matatu naMonica vachibuda chivanze.Mupfungwa dzake
makabva mauya mashoko ainge ambotaurwa namai Mavis
mazuva mashomanana ainge adarika.Murume akasimuka
achiita zvekukwakuka ndokumhanya achitevera vanaMonica.
"Promise dzoka mhani iwe! Zviregere zvindovharir-
wa.Mwana wekupi anoroya zvakadai?" vakadaro mai
Muchaneta vachitevera Promise.
Promise akangotendeuka ndokuti, "Teteka zvichabuda
hazvo pachena." Akavapira gotsi ndokumhanyira vanaMonica
avo vainge vave kuenda kukamba.

~ 104 ~
Abraham Makamera

TSAURO 17

M onica zvaaakatorwa akaendwa naye kukam-


ba.Vachindosvika mukamba vakapinda mune imwe
hofisi yainge yakashongedzwa zvakanaka.
"Garai pabhenji iro," akadaro mupurisa wechirume ainge
abva naMonica.
Promise ndiye akatanga kugara, Monica ndokumbosara
akamira achiverenga mapepa ainge akanamirwa kumadziro
kwehofisi iyi.
"Ko imi tokubatsirai sei?" Uyu aiva mupururisa uya ainge
avapa pekugara.
"Ndini ndina amai ava,mudzimai wangu," akadaro Promise
achinongedza Monica uyo ainge achakangomira.
"Zvakanakai ini ndinoitwa Sajeni Soko. Mudzimai wenyu
ndange ndambomutaurira zvangu," akadaro mupurisa uya
ndokubuditsa chinyoreso chake ave kunyora nyora.
Monica akazogara pasi akagumbatira dumbu sezvinonzi
rairwadza. Makamboita karunyararo mupurisa uya ainge ari
mubishi rekunyora mapepa ainge akazara patafura.
"Mapedza here Sgt?" akadaro mupurisa wechikadzi uya
ainge achinyora kutsime.
"Ndava kutopedza," vakadaro vachivhomora rimwe bepa
raiva pakati pemabhuku aiva patafura iyi.Vakaenderera mberi
voti,"Ava vanonzi Constable Jena.Ndinofunga mambovaona,
tange tiri tose," vakadaro vakatarisa Promise.Iyewo Promise
akangogutsurira musoro pasina chaataura.
Mushure mekunge vapedza kunyora vakatambidza Jena
bepa ravainge vanyora nyora ndokuti, "Enda navo kuroom 8. I
think ndiko kuri free. Record everything zvavachataura and let me
know kana wapedza."
"Yes sir," akadaro Jena ndokutorana naMonica vave kubu-
da.Vakandopinda mune imwe hofisi ndokubva vagara

~ 105 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pasi.Monica akabvunzwa zvaaiziva maringe nenyaya iyi


ndokutsanangura.Zvose zvaaitaura zvainge zviri kunyorwa
pasi.
"Saka hapana mumwe munhu wamakaona here,kana
kusangana naye muchienda kutsime?" akadaro Jena.
"Kwete hapana," akapindura Monica achibata musana
wake.Jena akatsikitsira ndokumbonyora nyora, akazosimudza
musoro ndokutambidza Monica bepa raainge achinyora
ndokuti,"Verengai, then mosaina pakanzi signed apo,"
akapedzisira nekutambidza Monica chinyoreso.
Monica akambotora kanguva akatsikitsira akatarisa pabepa
iri. Mushure ndokuzorigadzika patafura ava kunyora zita
rake.Akadzorera bepa riya kunaJena uyo akabva ariisa pakati
pemamwe mapepa aaiva nawo.Jena akatora kapepa kaye
kaainge abva nako kurwizi ndokukukabhedhenura.Akatora
chinguva achiita semunhu ari kutadza kuverenga zvaiinge
zvakanyorwa ipapo ndokuzobva azoti, "Ko mungaitawo ruzi-
vo memunhu anonzi mai Samson?"
"Um," akamboita semhunhu ari kufunga ndokuzoti," Nde-
vekupi mai Samson vamuri kundibvunza nhai officer? akadaro
Monica.
"Imi vamunoziva ndevekupi? Munganditsanangurirawo
here maererano nezvamai Samson vamunoziva?" akadaro Jena
asimudza chinyoreso zvino.
"Ini ndikati pane vandinoziva ndingakunyeperai,asi kuti
pane vandakambonzwa kuti vaiva nechikwereti chavatete
vangu."
"Vakazochibhadhara here chikwereti chacho?" akabvunza
Jena akanyatsotarisa Monica mumaziso chaimo.
"Havana nekuti vanonzi vakazoshaya vasati
vachibhadhara."
"Vakashaya?" akabvunza Jena achishamisika.
"Hongu.Asi vaiva nechikwereti chenyu here? Ndadaro
nekuti ndakanzwa kuti vaiva nembiri yekusabhadhara zvikw-
ereti?"
Mubvunzo uyu haana kumufarira nekuti wakamunetsa
~ 106 ~
Abraham Makamera

kupindura. Akazongoita seainge asina kunzwa zvabvunzwa


ndokuenderera mberi oti, "Mai Muchaneta vamati nditete
venyu vanogara kupi?" akadaro Jena.
"Variko kumba. Hamuna kuvaona here?" akadaro Monica.
"Zita ravo rizere vanonzi ani?"
"Zita ini handirizive. Mirai ndishevedze baba vaTavonga
ndivo vanoriziva," akadaro Monica achisimuka kubva paainge
akagara.
"Garai zvenyu pasi. Ndichavabvunzawo zvandingada kuzi-
va kubva kwavari," akadaro ndokutora rimwe bepa rainge
hamvuropu. Akaisa chipepa chiya chaainge ambonetseka ku-
verenga nguva pfupi yainge yadarika akatsikitsira pasi
ndokuti," Ko hushamwari hwenyu nemunhu anonzi Joyce Ga-
za hwakamira sei?"
"Joyce ani?" akabvunza Monica achishamisika.Hazvaitadza
kumushamisa nekuti haana kubvira amboita shamwari yaiva
nezita rekuti Joyce.
"Joice Gaza" akadzokorora Jena neinzwi rakanyorovera.
"Handina shamwari yakadaro ini Officer," akapindura Mon-
ica achishungurudzika kuti angava ani aiva nezita rekuti Joyce
Gaza.
Uyuwo Jena ainge ari mushishi rekungonyora.Apedza
akasimudza chitupa chaiva patafura ndokuchitambidza Mon-
ica.Monica akanyatsoringa pachitupa ichiasi chiso chaainge
aona pachitupa ichi hachina kumuitira chitsva.Change chava
kunyanyomunetsa ndechekuti ndekupi kwaanochizivira.
"Uri kuratidza sewamuziva munhu uyu. Anogara kupi?"
akadaro Jena achinyemwerera.
"Hongu chiso ichi ndakambochiona officer asi kuti kupi
manje ndipo pandava kukoshiwa" Akadaro achizama kufunga
zvakati dzamei.
Jena akatora chitupa chiya ndokumboruma ruma
chinyoreso achiita semunhu ari kufunga zvekunyora. Monica
achiona Jena panguva iyi akambofunga kuti mupurisa uyu ari
kudzidzira basa iri. Chaasina kuziva ndechekuti Jena yaiva
nyanzvi munezvekufeya nyaya dzakaita seyaainge akatarisana
~ 107 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

nayo.
"Tingachienda zvedu," akadaro Jena achisimuka
ndokusimudza mapepa ayo ainge aiswa mune rimwe bepa
raaita sezihamvuropu zihombe.
"Zvatokwana here Officer?" akadaro Monica achiratidza
kuti ainge achine zvimwe zvekutaura.
"Hongu. Muchine zvamunoda kutaura here maringe
nenyaya iyi?" akadaro Jena achidzokera pachigaro chake.
Vainyatsoziva Jena vaigona kupupura kuti iyi ndiyo imwe
yenzira yaaishandisa kuwana humbowo panyaya dzaanenge
achifeya. Aiita seasina basa nekunzwa zvakawanda maringe
nezvenyaya yaanenge achifeya izvo zvaizopa kuti munhu
arikupomerwa mhosva anzwe kuda kumuudza zvaanofungawo
maererano nenyaya yaanenge akatarisana nayo.
"Hongu Officer," akadaro achishereketa achiita semunhu
ainge ava kurwadziwa nekugara.
"Zvakanakai.Munganditsanangurira here?" akatora bepa
iro raainyora pasi zvose zvakataurwa naMonica.
Monica akazopedzisira nekukumbira Jena kuti aratidze
Promise chitupa chaainge amboona nguva shomanana yainge
yapfuura.
"Zvakanakai amai, asi murume wenyu ndinodavira
atochiona chitupa ichi musati machiona," akadaro achinyemw-
erera.
Monica akashaya neshumo yazvo nekuti ainge asina kum-
boona Promise achiratidzwa chitupa ichi,uye painge pasina
mumwe munhu ainge ambopinda muhofisi umu zvekuti anga-
fungira kuti pane angadaro avigira Jena chitupa ichi. Vaka-
kasimuka ndokubuda muhofisi umu ndokuenda kuhofisi ya-
vainge vasiya Sajeni Soko naPromise. Vakawana vaviri vasi-
mo ivo ndokugara pasi vachikurukura zvakasiyana siyana.
Mushure mechinguva Promise akadzoka akadungamidza
naSajeni Soko. Akasvikotarisa mudzimai wake ndokuona chiso
chake chisina mufaro. Jena akasimuka pabhenji paaiva akagara
ndokundogara pachituro chaiva padivi paSajeni Soko.
Akavhura bepa riya ndokubudisa mapepa aainge achinyora
~ 108 ~
Abraham Makamera

ndokumatambidza Sajeni Soko. Sajeni Soko vakaverenga


rekutanga nerepiri ndokubva vamadzorera Jena vachinyemw-
erera.
"I think thats all zvatanga tichimboda for now.Kana paine
zvimwe zvatichada tinokufonerai," vakadaro Sajeni Soko.
"Zvakanakai officer," akadaro Promise achipuruzira muso-
ro. "Asi ndaikumbirwo kuti muzame nepose pamubogona na-
po kuti munhu akaita izvi abude pachena," akadaro achisimuka
kubva paainge akagara.
"Zvakanakai baba. Imi kana paine zvimwe zvamazowana-
wo maringe nenyaya iyi munotibata panumber dzan-
dakupai.Tinotenda nezvamatipawo," vakadaro Sajeni Soko
vakatarisa Promise uyo ainge angomirira mudzimai wake kuti
asimuke.
Monica akasimuka ndokunhonga chichari chaainge aka-
monera icho chainge chadonera pasi.
"Mirai. Munogona kundosiiwa padyo nekumba kwenyu
nemupurisa uyu," akadaro Jena achishevedzera kunaPromise
naMonica avo vange vave kutobuda chivanze chepakamba
apa.
Vakazopinda mumotokari ndokuzondosarira ku-
chigayo.Vakafamba vave kuenda kumba.Munzira vain-
gobvunza nekupindurana zvavainge vachibvunzwa kumapuri-
sa.
"Ko nhai baba vaTavonga, chii chiri kunetsa?" akadaro
Monica aona chiso chemurume wake chiratidza kushun-
gurudzika zvakanyanya. Zvechokwadi Promise ainge ave kui-
ta seechapenga nekufunga.Ndiko kwakanzi nevakuru kuenda
parumananzombe.Ainge ava kuona sekuti rufu ndirwo rwega
rwaigona kumubvisa panyaya dzaainge akatarisana nadzo.
"Hapana," akapindura ndokubva atanga kuchema.Apa
vainge vave kuswedera padyo nemusha wavo.
"Mai Tavonga,ndiudze chokwadi. Hausiwe here wakapara
mhosva iyi?" akadaro Promise misodzi ichidzika nematama.
Monica akatarisa murume wake ndokuti,"Nhai Promise
unondifungireyi zvinhu zvakashata kudaro? Handina moyo
~ 109 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

wakadaro ini," akadaro misodzi yajenga mumaziso.


"Ndangobvunzawo ini. Chiregera kuchema,tarisa tava
kusvika pamba," akadaro Promise achinyaradza Mon-
ica.Vakapinda muchivanze zuva richangonyura munamai va-
ro.Mai Muchaneta vachiona Monica adzoka vakanzwa kur-
wadziwa zvekuti vakasimuka kubva pavainge vakagara vachii-
ta semunhu ari kutiza nyoka.Vakaenda kudare uko kwainge
kune mhuri yaVaZindoga pamwe chete nemhuri
yemushakabvu. Vakasvikosimudza VaZindoga zvokuti vanhu
vose vakazvishaira shumo yazvo.
"Huyai muone mwana wenyu.Mukati haana kudyiswa
iyeye?" vakadaro vachidhonza VaZindoga ruoko.
"Zvaita seiko nhai Masibanda? Chimbomira timbopedzisa
nyaya iri apa," vakadaro VaZindoga.
"Haangateveri mhondi kumapurisa mhani.Tarisai atadza
kuvharirwa nekuda kwake.Handisati ndamboona zvakadai
ini," vakapedzisira nekuridza tsamwa vachiregedza ruko
rwaVaZindoga.Monica zvaakasvika pachivanze akafamba
ndokundopinda muimba yekubikira umo maakandogara padyo
navamwene vake.
Muimba umu maingonzwikwa vanhu vaitaura nekazeve
zeve,vamwe ndivo vaingonongedza Monica.Zvechokwadi
ainge ave mabvangubvarara matama ehwashu.

~ 110 ~
Abraham Makamera

TSAURO 18

M udzimu wakupa chironda wati nhunzi dzikudye.


Vanhu vakaita mazuva maviri vakaungana pamusha
paVaZindoga vakamirira kuuya kwemutumbi. Waingoona
zviri zvitutu zvitutu zvevanhu vari pamusha apa, nyaya
ichingova imwe cheteyo yefiro yainge yaita mukadzi uyu.
VaZindoga ndivowo vainge vakagara nemhuri yavo pasi
pemumango waiva nechekuchamhembe kwemusha wa-
vo.Chiso chavo chainge chichiratidza kushungurudzika. Vaiti
vakatarisa mwanakomana wavo Promise, waiona harahwa
ichidzungudza musoro.Vakasimudza chituro chavainge vak-
agarira ndokuteverera mumvuri uyo wainge wave kupesana
nezuva. Vakagara vakazendama nehunde nemuti uyu.
Zvechokwadi murume mukuru ainge abaiwa panyamanhete.
Vakatora kanguva vakabata shaya misodzi ndokutanga kuy-
erera ichidzika nematama ayo ainge adzokera mukati.
"Musha wangu wapindwa neiko chaizvo? Zvichibva newe
iwe," vakadaro vachibaya Promise netsvimbo yavo. Promise
akangoramba akatsikitsira, ndizvo zvimwe nevanin'ina vababa
vake. Chainyanya kunetsa varume ava ifiro yainge yaita muk-
adzi uyu. Kuti vati ainge azviuraya zvakavaremera.
"Nhai Tete zvakanyatsofamba sei kumba kwenyu uko?"
akadaro munin'ina waVaZindoga achibvunza hanzvadzi yake.
"Saka muri kuti ndini ndakauraya here?" vakadaro mai
Muchaneta vachisimudza musoro.
"Ndizvo zvabvunzwa here nhai tete?" akadaro Promise
asingazive kuti ainge azvidenhera nyuchi dzegonera.
"Newewo utori nepfungwa sadzababa vako ava? Inga
munondishurira chete imi. Munoti nanga nanga neni tsvee
kubvunza wenyu muroora agere mumba umo. Sei ariye
akazoona mushakabvu? Imi mukoma ndakakutsanangurirai
zvose wani. Ini ndakazvitaura kudhara hezvo tapinzirwa

~ 111 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ngozi mumusha nenharo dzenyu..."


"Imi amai,sei murikuti ndimai Tavonga vakaita izvi?"
"Yowe zvangu.Saka ini ndini ndatova muroika mumusha
muno?" Vakadaro vachisimuka kubva pavainge vakagara apa
vachiita kuridza mhere chaiyo zvekuti vanhu vose vaiva
pamusha apa vakakanda maziso uko kwaiva nemhuri ya-
VaZindoga."Nhai Shumba, ndizvo zvamakaudza vani'ina
venyu here izvi?" vakabvunza vachimonera chichari muchiuno
mavo."Ndipindurei Nyamuzihwa.Ndinoreva imi," vakadaro
vachitendeka VaZindoga.
"Gara pasi," vakadaro VaZindoga vachitaura neizwi
rakadzikamira.
"Ndogarireizve pasi? Ndoda kutoenda kumba kwangu
ini?Asi muchazomafunga mashoko angu andakambotaura,
kuti munhu uya inyoka. Tinopera tese takasvinura sematemba
mumusha muno,ndinokuudzai," vakabva vatanga kufamba
vave kuenda muimba yekubikira.Varume vakasara vakangota-
risana pasina aitaura nemumwe.
Mai Muchaneta vakapinda muimba yekubikira ndokun-
dogwadama vave kuzevezerana namai Norest.Mushure
vakabuda vakadungamidzana naMonica.Vakadzokera paiva
naVaZindoga ndokusvikogara pasi.
"Ndati ndisiye ndazvipedza. Hazvizivikanwe zvimwe ndini
ndiri kutevera ipapa," vakadaro asi hapana akavapindura.
NaMonicawo akatoshaya kuti chii chainge chiri kunyatsoitika
pamusha apa. Akangoramba akatsikitsira.
"Iwe simudza musoro apo!Unoda kuzviita munhu kwaye
panhamo pano haunyare wakaita sei? Taurira vanababa vako
ava..." Havana kuzopedzisa kutaura zvavaida kutaura vabatwa
muromo naVaZindoga avo vainge vave kutya kunyadziswa
pakazara vanhu.
"Iwe mai Muchaneta haunyare wakaita sei? Hausi kana
kumboona kuti vanhu vose ava vave kutoshamisika nezvauri
kuita?"
"Ndingadya huroyi nekunyara here nhai Shumba? Handiti
raini rose iri rinofuma rave kundiita mhondi? Imi tete vake
~ 112 ~
Abraham Makamera

mamboona kana hama yemuroora wenyu here pano? Fungai


nezvazvo Shumba," vakadaro vakatarisa VaZindoga avo
vainge vakangogara vakazvitsigira netsvimbo yavo.
"Zvabva zvaita mutumbi wasvika. Zvino vakazobvuma
here kuti achengetwe kuno?" vakadaro mai Muchaneta
mushure mekunge vaona motikari nhatu dzainge dzakadun-
gamidzana dzakananga paVaZindoga.
"Handiti takaroodzwa mutumbi here vatete?" akadaro mu-
ni'ina waVaZindoga.
"Imi ndipo pamunoda kuramba makachengeta mhondi
mumusha."
"Amai kani,zvapera!" akadaro muzukuru waVaZindoga
achibata mai Muchaneta muromo.
Monica zvaakanzwa mashoko amai Muchaneta akabva
atanga kuchema.Waingoona misodzi ichidonhera pasi sezvo
ainge akatsikitsira.
"Pamusoroi," Monica aiombera ndokubva asimuka kubva
paainge akagara.Akati nhanho yekutanga kanhu,paakati yepiri
akabva adonha pasi sedanda rakawora.Promise akasimuka
achimhanyira paaiva ndokusvikozama kumumutsa,asi akata-
dza kumugadzika.Akasheedza mai vake vaiva mumba.
Vakasimudza Monica ndokumuisa muimba make.Hapana
chaanga achakwanisa.Kufema chaiko zvainge zvisingacha-
tooneke. Chainge changosara kunzwika kurova kwehana iyo
yairovera kure kure.Vakambozama kumudira mvura asi zvose
zvakashaya basa.Akatakurwa ndokundeswa kuchipatara uko
kwaazondoti pembenu mushure mechinguva asvika pachipata-
ra apa.
Kumbawo kwaVaZindoga, mai Muchaneta vakasara va-
dzikama zvino.Zvainge zvoti nekutya nezvainge zvaitika.
"Unoona hunhu hwako mukunda? Haumbozvione kuti
mwana wevaridzi akazvitakura.Unoda tiite sei apa tichine
imwe isati yapera iwe woda kutimutsira imwe?" vakadaro
vaChigubhu avo vainge vapirwa nyaya yaMonica sezvo
yainge yaitika vaenda kundotora mutumbi wemushakabvu.
"Hapana zvandambomuita ini mukoma," vakadaro neizwi

~ 113 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

rinenge remwenga. Vakazosimuka ndokusiya hanzvadzi dzavo


dzave kumbogara dare nemhuri yemushakabvu.

Paiitwa izvi chimwe chikwata chevarume chainge chiri


mubishi rekuchera guva sezvo hama dzemufi dzainge dzati
mutumbi uradzikwe musi uyu.Kuvarume vaichera guva kwai-
va nemumwe murume wainge asina kumboonekwa neruzhinji
rwevanhu vaivapo.Murume uya ainge akangogara ach-
ingobvunza mafiro emushakabvu.Vamwe ndivo vaimupindura
zvavaifungawo vamwe vachimupindura zvavainge vanzwawo
nevamwe. Akazobuditsa kapepa kainge kakaputirwa bute
ndokutswinya zvishoma shoma ave kuisa mumhino.
"Ko munoputawo bute? Ndange ndichitoshaya kuti ndiani
angandifembedzesawo rangu rapera pava nechinguva," aka-
daro mumwe murume aiva mugomba akabata foshoro.
"Richimborimo here?Ndekwe yangu yakarasikawo nezuro
ndingadai ndakugugudzira," akapindura achiputira zvibute
zvainge zvasara.
"Mira ndingotswinyawo zvishoma ndanzwa," akabuda
mugomba murume uya ndokutambidza foshoro mumwe
mukomana wechidiki ainge akamira panze.Akaenda ndokun-
dogara paiva nemurume uya aiputa bute. Akapihwa bepa raiva
nebute ndokutora bute achitsokodzera mumhinho.
"Zvawava kupedzazve,unoti ndinozoputei?" akadaro
murume uya achitambanudza ruoko kuti adzorerwe chipepa
chaiva nebute rake.
"Hauchionezve ndiyo inonzi fodya iyi.Wakasvitswa nani
kumukadzi uyu?" akadaro murume ainge akumbira fodya uya.
"Mukadzi upizve nhai sahwira?"
"Kwawakapihwa fodya iyi.Ndiko kwandinopihwawo
yangu," akadaro achibva asimuka kuti adzokere mugomba
maainge ari.
"Watozorora here? Rega uyo achangopinda amboshanda."
"Ndikagara simba rinozopera sahwira,rega ndishande.
Ndatowana simba so." Akafamba ndokusvikojambira mugom-
ba. Akatorera mukomana waainge ambopa foshoro
~ 114 ~
Abraham Makamera

ndokutanga kubuditsa ivhu kubva mugomba. Guva rakazoti


rapera akadzokera kundokumbirazve fodya ndokubva apihwa
nechipepa chacho.
"Chipedzisa zvako ndozotopfuura ndichipihwa imwe ndave
kuenda," akadaro achimutambidza chipepa chaiva nebute.
"Hauchionezve." Akaombera ndokutambira chipepa chi-
ya,akaenderera mberi oti, “Gara zviya takamboonana kupi?"
"Ndinofunga ndeipo pano, marimwezuro ndange ndiri
pano," akadaro murume uya.
"Zvinogona kudaro. Ini ndinoitwa VaMujezi," akavhura
chipepa chiya ndokudururira fodya iya pachanza chake cheku-
ruboshwe.
" Ini ndinoitwa Soko," akadaro achishereketa.
"Zvakanaka Mukanya. Ndanzwa muchiti munoda kupfuura
muchipihwa imwe fodya,kuti vanenge vadzokera here? Va-
ripano ndavaona masikati ano"
"Unorevesa here?" akabvunza achiita semunhu ari kusham-
isika.
"Hongu. Patauya kuno vange vakagara mumba.Ndivo va-
tombondipa fodya masikati.Dai zvisizvo ndingadai ndatofa,"
akadaro Mujezi achiseka.
Soko akanyemwerera ndokuti, "Asi ndimi muri two muno-
puta bute chete here pano?"
"Unogoti two seizve iwe? Tiri three newe," akataura
mashoko aya achiguma guma fodya iyo yainge yasarira
muchanza chake.
"Iwewe futi.Saka ndichatopihwa yavainayo ndozodzoka
ndichitora mangwana kumba kwavo," akadaro Soko.
"Kana wapihwa unozondisiirawo twushoma. Mbuya yacho
inonyepa mhani," akadaro Mujezi achirova zvimhutu izvo
zvainge zvamushungurudza munzeve.
"Inonyepeizve?" akabvunza achitaurira pasi.
"Zvanzi ndiwe wega wandinopa fodya, vamwe havaifarire
zvanzi iri very strong."
Soko akanyemwerera akatsikitsira ndokuzosimudza muso-
ro oti, "Zvechokwadi iri very strong. Saka ndikapihwa
~ 115 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ndokutsunyirawo zvishoma."
"Zvakanaka Mukanya."Vakasimuka ndokuenda kwainge
kune vamwe vavaiva navo avo vainge vaungana pasi
pemushuma.
Pasina chinguva,mutumbi wakabva wasvika kubwiro
ndokuchengetedzwa.Vanhu vakazosimuka vave kunanga
kumba kwaVaZindoga ndokundodya.Vapedza vamwe vaka-
tanga kuita rumwe rumwe vachidzokera kumana kwavo.
"Ko wava kuregedza ichienda mbuya iya unoti tino-
zowanepizve fodya nhai Makwiramiti?" akadaro Mujezi aona
mai vaChipo vatova chinhambwe kubva pamusha apa.
"Arikupizve?" akadabvunza achisimuka kubva paainge ak-
agara.Mujezi haana kumupindura chaakangoita kunongedza
chete.
Soko akapinda munzira ndokufambisa achiitira kubata mai
vaChipo.Vakakwazisana Soko ndokuzotaura zvaainge afambi-
ra.Akapihwa fodya ndokudzokera kwaiva naMujezi
akasvikomupawo nepakati, Mujezi ndokupembera.Akamboisa
zvishoma mumhinho ndokuti,"Mai vanogadzira fodya mhani
ava."
Soko akangogutsurira musoro achinyemwerera.Akasimuka
ndokuonekana naMujezi ave kuenda. Munzira akaenda
achifara nezvaainge awana maringe nefiro yainge yaita
mushakabvu. Ko aitadza sei kufara iyo nyaya yaaifeya yainge
yave nepekutangaraizvo zvinova zvisina kunge zvazivikanwa
kana kufungirwa naMujezi. Mujeziwo akazongosara ave
kunetseka kuti murume waainge aswera naye zuva iri aimbo-
gara kupi. Akabvunzawo vamwe vainge vambomuona aina
Soko, avo vakamutsanangurira kuti Soko aiva mutikitivha
aishandira pakamba yepaChikuku. Akangozviudza neche-
mumoyo kuti,"Ndagara ndazviona kuti moyo washe here
bveni kuchengeta nyimo."

~ 116 ~
Abraham Makamera

TSAURO 19

K o ndiani aiziva kuti mapurisa epaChikuku aizosvika


mudunhu raishe Matondwe? Ko kuzoti kusvika
pamusha wemwana wavaBvudzijena? Hapana aifungira
kuti zvose izvi zvichaitika musi uyu.
Pakapera masvondo maviri mushure mekunge kwaitika
nhamo kumba kwaVaZindoga. Mwanakomana wavo, Promise
ainge adzokera kuHarare uko kwaaishandira. Varoora vavo
vaviri vainge varipo pamusha wavo vachingombeya mbeya
nemusha. Dzainge dzava nguva dzemasikati. Zuva raipota
richimbobuda apo neapo sezvo kunze kwaiva nemakore.
Vazukuru vaVaZindoga rainge ringori jwiriri jwiriri panze
vachitamba chihwande hwande. Ivo VaZindoga, mudzimai
wavo pamwe chete namai Muchaneta vainge vagere muimba
yekubikira vachikurukura.
"Sekuru pane mapurisa ari kuuya kuno," chakadaro
chimuzukuru chaVaZindoga chakamira pamusiwo.
"Ungabva waita sezvinonzi hauzive mapurisa seiko nhai
Tinevimbo?"vakadaro VaZindoga, ndokuenderera mberi voti,
“Chienda undotamba nevamwe panze apo."
Tinevimbo chakabva pamusiwo ndokuenda kuseri kwaiva
nevamwe vezera rake. Pasina chinguva mapurisa aya ainge
ave muchivanze chaVaZindoga. Vakahukurwa neimbwa dzai-
va pamusha apa ndokuramba vakamira pakati pechivanze.
"Pfutseke Machena! Rara pasi uko!" vakadaro vaZindoga
vachibuda muimba yekubikira iyi.
"Svikai hadzirumi idzi," vakadaro vachifamba kundosanga-
na nemapurisa aya.
Vakakwazisana ndokumboita kanguva vakamira.
"Ko ndimi mune mota yakamira apo here?" vakabvunza
VaZindoga vaona motokari yaiva reruvarwa rwechipurisa
yakamira kunze kwechivanze chavo.

~ 117 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

"Hongu tisu," akapindura mumwe mupurisa wechikadzi


waiva naJena naSoko.
"Ko ava ndimi munavo here?" vakabvunza VaZindoga
vaona mai vemuroora wavo mudiki pamwe chate navatete
vavo avo vainge vakaiswa njema vakabatanidzwa nemumwe
mukadzi.
"Hongu tisu tinavo. Tiri kuenderera mberi nekuferefeta
maringe nemudzimai wekuwanikwa akafira mutsime uya,"
akadaro Jena uyo akakurumidza kugamwa naVaZindoga
vainge vashamisika kuti amai vemuroora wavo navatete vavo
vainge vapinda papi munyaya iyi."
"Zvino ava mati vaitawo sei panyaya iyi?" vakadaro vaZin-
doga vakabata chirebvu chavo icho chainge chine zvindebvu
zvainge zvachena.
"Pakuferefeta kwataita so far, takaona kuti vakadzi ava
vane chekuita nekufa kwemuroora wenyu," akadaro Soko uyo
ainge akabata mabhuku muruoko rwake rwerud-
yi.Akaenderera mberi oti, "Tiri kutsvagawo vanonzi mai
Muchaneta."
VaZindoga vakaramba vakatarisa Soko, chiso chavo chichi-
ratidza kushungurudzika.
"Mungatibatsirawo here baba?" akabvunza Soko angoona
VaZindoga vangoramba vakakanyarara.
"Kwakanaka here vanangu?" vakadaro neizwi raitatidza
kushungurudzika zvakanyanya.
"Hongu kwakanaka," akapindura mumwe mupurisa
wechikadzi aiva naSoko naJena.
"Varimo mumba umo," vakadaro vachitendeka muimba
yekubikira.
Jena nemumwe mupurisa wechikadzi uya vakakanda
nhanho dzinenge pfumbamwe ndokupinda muimba yekubiki-
ra. Vakakwazisana namai Norest pamwechete namai Muchan-
eta. Mushure mekuzivana vakazovatsanangurira zvavainge
vafambira. Mai Muchaneta vachinzwa nyaya iyi
vakamborohwa nehana ndokumboramba vakatsikitsira vachii-
ta semunhu ari kunamata.
~ 118 ~
Abraham Makamera

"Kubva pari zvino mava musungwa sekutsanangura


kwandamboita," akadaro mupurisa wechikadzi uya achivho-
mora njema idzo dzaiva mukachikwama ako kainge kakap-
fekerwa mubhande rainge rakasunga mudhebhe
wake. Akadziisa mumaoko amai Muchaneta avo vainge vave
kungodonedza misodzi.
"Tingachisvika zvedu kukamba," akadaro mupurisa uya.
Mai Muchaneta vakasimuka chinyararire ndokukanda
nhanho mbiri vachitevera mumashue maJena. Vakamira
ndokucheukira kumuroora wavo uyo ainge akangotarisa zvose
zvainge zviri kuitika.
"Handiti munoona zvandakakuudzai musi uya. Muroora
wenyu akandondinyepera kumapurisa uko. Ndiri kuenda asi..."
"Imi amai, fambai tiende," akadaro mupurisa wechikadzi
uya ainge ari mumashure mamai Muchaneta. Vakabuda
muimba yekubikira ndokundopinda mumotokari iyo yainge
yakamira kunze kwechivanze. Soko naVaZindoga pamwe
chete nevasungwa vechikadzi vaye vainge vatova kumota
nechekare.
"Mazvita baba. Tichakuzivisai zvimwe maringe nenyaya
iyi," akadaro Soko achionekana naVaZindoga avo
vakambosara vakamira kwekanguva vachitarisa motokari
yainge yatakura hanzvadzi yavo. Motokokari yakadzokera
mumugwagwa mukuru ndokurohwa yakananga kuChipwere
High School sezvo kwainge kusina mugwagwa waisvika
pamusha pamai Mavis.Motokari yakamiswa kunze kwemug-
wagwa. Soko akatorana nemupurisa wechikadzi uya
ndokupinda munzira vave kunanga kudunhu raishe Ma-
tondwe.Vakasiya Jena nemumwe mupurisa waityaira moto-
kari vakachengeta vasungwa.
Vakabuda mugura vatarisana nemisha zvino. Sevanhu
vainge vasingazivi pavainge vachienda vakamborasika
vachienda pane mumwe musha waiva nechekumucheto kwe-
dunhu iri.
"Mai Mavis ndivo avo vakatakura mugomo varikukwidza
uko," akadaro mumwe mwana wechidiki wavainge vawana

~ 119 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pamusha apa.
"Thank you," akadaro Soko ave kutofamba kubuda muchiv-
anze ichi. Uya mupurisa wechikadzi akatendendeuka
ndokutevera Soko.Vaviri ava vakafambisa ndokundosvikira
namai Mavis muchivanze chavo.
"Tisvikewo pano," akadaro Soko achipinda muchivanze.
Mai Mavis vacheuka ndokuona mapurisa akamira
akavatarisa.Havana kupindura ndokutura mugomo vave
kudurura mvura muchirongo chaiva muberere reimba yeku-
bikira.
"Ko kwakanaka here?" vakadaro vachifamba kundokwa-
zisana nemapurisa aya.
"Hongu tavinga imi in connection nesuspected murder case
yatiri kuferefeta," akatsanangura Soko akatarisa mai Mavis
avo vainge vakangomira vachiteerera zvaitaurwa.
"Zvino mati ini ndinokubatsiraiwo neiko zvangu? Ko
akauraiwa wacho ndiani? Akaurairwa kupiko munhu wacho?
Uye Riini?" vakaradanura mibvunzo yose iyi vasiri kupa
mapurisa aya nguva yekupindura.
"Zvino zvamava kubvunza mibvunzo hobho hobho munoda
tikupindurei sei?" akabvunza mupurisa uya wechikadzi.
"Ndati ndingakubatsirai neiko pakuferefeta nyaya yenyu
yamataura nezvayo nhai maofficers?"
"Amai zvamunoona tauya pano kudai, muri umwe wevanhu
vanofungidzirwa kuti makauraya mushakabvu watiri kutaura
nezvake." akadaro Mukadzi uya achikanda nhanho kuenda
paiva namai Mavis.
"Munondishurira here imi?Ini kuuraya?Ani wanda-
kauraya? Aya ndiwo anonzi mashura chaiwo," vakadaro mai
Mavis vachikwidza inzwi.
"Tiri kukusungai nekupomerwa mhosva yekuuraya Za-
dzisai Sunganai musi wa21 Juneiyo yamuri kunzi makapara
pamwechete naEunice Tsau,Tafadzwa Zindoga,Joice Gaza
uye Promise Zindoga," akadaro Soko. Paaitaura mashoko aya
ainge achitambidza mupurisa wechikadzi uya njema dzekuti
aise mumaoko amai Mavis.
~ 120 ~
Abraham Makamera

"Promise Zindoga?" Vakabvunza mai Mavis vachiita se-


vainge vasingazive munhu uyu.
"Asi hamuzive here munhu uyu?" akabvunza Soko aona
mai Mavis vaita sevainge vashamiswa nezita iri.
"Kwete, kumuziva ndinomuziva,asi..." vakambomira kutau-
ra vachiiswa njema mumaoko. Vakazosimudzira voti,"Imi ma-
tozvibvumawo kuti ndini ndakauraya here?"
Soko akaseka ndokuti, “Ndizvo zvamanga muchida kutaura
here izvi nhai mai imi?"
"Zvino apa mava kuenda neni kupi?" vakabvunza mai Ma-
vis vachiita sevainge vasina kunzwa mubvunzo wainge wab-
vunzwa naSoko.
"Tichibva pano tiri kunanga kuPolice Station. Tiri kunanga
nekuHigh School uko kwatasiya motikari yedu," akatsanangura
mupurisa wechikadzi uya aiva naSoko.
"Ndine muzukuru wangu aenda kuchikoro. Zvino
ndokumbirawo ndidarike nekwaamai vangu ndichivazivi-
sa.Ndodazve juzi kunogona kuzotonhora," vakadaro
ndokuperekedzwa nemupurisa wechikadzi uya muimba yavo
yekurara.Vakabudamo vakabata juzi iro rainge rakamonerwa
maoko aro kuvhara njema dzainge dzakaiswa mumaoko
avo.Vakabva pamusha apa ndivo hevo vanananga kwaVaMa-
kunge.Vave kundosvika pamusha waVaMakunge
vakambokumbira kubviswa njema mumaoko kuitira kuti amai
vavo vasaone kuti vaiva musungwa asi hazvina kubudiri-
ra.Vakapinda mumusha maVaMakunge umo mainge
makanyararwa muchiita semusina vanhu.Ko vaibvepi vanhu
vacho izvo zvizukuru zvavaigara nazvo zvaiswera kuchikoro?
Chembere yainge igere zvayo kuseri kwehozi yaiva pamusha
apa yakarindira tsoko idzo dzaiuya kuzodya chibage pamunda
wavo.
"Mhaai! Mhaai!" vakashevedza mai Mavis mushure
mekunge vashaya mai vavo.
"Ndianiko?" Rakanzwikwa izwi raVaMakunge richibva
nechekuseri kwehozi iya.
"Ndini! Huyai pano" Vakadaro mai Mavis vakamira pakati
~ 121 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

pechivanze pamwe chete nemapurisa ainge auya kuzovatora


kumba kwavo.VaMakunge vakasimuka kubva pavainge
vagere ndokuuya kwaiva nemwana wavo.
"Zvanziizve Ratidzai?" vakadaro vachishamisika kuona
mwana wavo akamira nemapurisa muchivanze chavo.
"Hapana amai. Ndati ndikuzivisei kuti ndichamboenda ku-
mapurisa, ndinodzoka zvangu.Mutarise muzukuru wenyu ka-
na adzoka kumba uko," vakadaro ndokutendeuka vave ku-
tungamirira mapurisa aya nzira yainanga kuChipwere High
School.
"Ratidza-ai!Ko zvawava kuenda usina kunyatsotaura zvai-
tika nhaizve iwe," vakashevedzera asi hapana akavapin-
dura.Mai Mavis vainge vasingachadi kubvunzwa zvakawanda
wanda maringe nenyaya yavainge vasungirwa.
"Zvakandiomera ini. Dai mwari vaita nditevere murume
wangu. Zvepano zvandiremera ini. Zvino ndinoziva asung-
irwei? Dai anyatsonditsanangurirazve ndazivawo," yakadaro
chembere ichitaura yoga yakamira muchivanze chayo.
Mai Mavis nemapurisa aya zvavakabva pamusha paVaMa-
kunge vakaenda kuchikoro uko vakasvikondopfuurira
kwaChikuku Police station. Vachindosvika vakabvunzwa
zvakawanda maererano nenyaya yavainge vasung-
irwa.Vakamboda kuti pamunhondo pamusasa vachizama ku-
ramba nyaya iyi asi mai Mavis ndivo vakazon-
goti,"Tinosvikepi vasikana? Maofficers takatadza tiregererei-
wo."

~ 122 ~
Abraham Makamera

TSAURO 20

P akapera mazuva maviri mushure mekunge vanamai


Muchaneta vatorwa nemapurisa.VaZindoga vainge
vakagara muimba yekubikira vachidziya moto sezvo kunze
kwainge kwafuma kuchitora musi uyu.Zvimvura zvaisakasira
zvakasangana nemhute iyo yaimhanya yakananga kuma-
virazuva.Vadzimai vavo vainge vakagarawo mumba imo-
mo.Zviso zvevaviri ava zvainge zvizere nekushushikana
kwakanyanya.Painge pasina aitaura nemumwe.Varoora vavo
ndivo vaingomira mira.Mumwe aibika sadza remasikati ari
muimba imwe chetewo yaiva naVaZindoga nemudzimai wa-
vo.Uyuwo Monica kana kuti mai Tavonga vainge vari ku-
chitara uko vaisuka ndiro dzainge dzashandiswa mangwanani
emusi uyu.
"Ko madii matevera vatete mundonzwa kuti zvakamira sei?
Hamuoni vana vari kushushikana here?" vakadaro mai Norest
"Unotoona kushushikana kwevaroora vako chete, kwangu
hausi kana kukuona? Ndivo vanhu vakakonzeresa zvose izvi
mumusha wangu," vakadaro VaZindoga ndokutora chimonera
chavo ndokusunga. Vakachitungidza ndokukweva.
Vakamboramba vakapfunda hutsi ndokuzohwubuditsa pave
pava. Zvechokwadi murume ainge abaiwa panyamanhete.
Waiona nemeso avo ainge ave kungogara akatsvuka seainge
adirwa mhiripiri.
"Handiti ndeyemuguchu here nhai Shumba? Ndizvo
zvakaitika hapana zvatichakwanisa kuita. Asizve musa-
kanganwa kuti muparanzvongo chaiye ndiye mwana wenyu,"
vakadaro mai Norest vachitaura nemurume wavo.
"Yemuguchu kuita sei kwacho ipapo? Wakatarisa muroora
wako uyu unoona chii ipapa? Unotoona mwana seakagarika
ipapa ivo amai vake...?"
"Zvambonyanyoita seiko nhai Nyamuzihwa?" vakabvunza

~ 123 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

vachibata murume wavo muromo.Panguva imwechetewo


Monica akabva apinda mumba umu akabata ndiro idzo
dzaainge achisuka panze.
VaZindoga vakati vaisimudzira yavo yavainge vasiira pan-
zira."Tarisa chero mai Tavonga ava.Vana vari kurwadziwa
nezvakaitika ava. Ini ndange ndazviramba imi mukati tora,
hezvo nhasi musha wangu waparara.Naiyewo mukunda
wangu ane ngozi chaiyo kuita hushingi hwakadaro hwekuu..."
"Ndati zvaita seiko murume mukuru? Mati voita seiko
vana ava?" vakabvunza vachitendeka varoora vavo avo vainge
vachigara nechekunerimwe divi mumba umu.
"Ko unoti tichazvichengeta kusvika riiniko nhai mai
Norest. Vana vanofanira kuziva zvakaitika kuvabereki
vavo.Asi ini ndinopika nababa vangu Shumba mombe dzangu
hadzingamboende zvichikonzerwa nevatorwa. Ndaramba,"
vakadaro vachipedzisa kachigusvani kefodya kavainge vaita
zvekutswinya nenzara.
"Zvino muchaita sei iye wenyu mukunda arimowo
munyaya yacho?" vakabvunza vaona kuti hapana che-
kuchavanza sezvo murume wavo ainge atobudisa kiti musaga.
Chero zvazvo vainge vasati vaibuditsa yose asi muswe wainge
wangobuda uyoyo wakapa kuti varoora vavo vave
nekakufungira.
"Tongomirira kutongwa kwayo tozotangira ipapo,"
vakapindura vakatarisa mudzimai wavo.
Monica naChipo vakasimuka ndokubuda panze vakateve-
dzana vaona kuti nyaya iyi yainge ine chekuita navo.Vakamira
muberere reimba ndokumbotaura vari vaviri.
"Ko nhai maiguru, inyaya yechii iri kunetsanirana amai
nababa?" akabvunza Chipo akagumbata maoko.
"Ndinofunga inyaya yeuya wekushaika mazuva apera.
Zvino tete mai Muchaneta vanenge varimo munyaya yacho,"
akadaro Monica akamira akazendama nemadziro.
"Kana iriyo saka isu tapinda papi apa?" akabvunza Chipo.
Monica paakada kuti apindure akanzwa VaZindoga vave
kutaura vachiita semunhu ari kupopota.
~ 124 ~
Abraham Makamera

"Saka ichokwadi, tete mai Muchaneta vakasungwa. Nda-


kangonzwa karunyerekupe nezuro ndikamboda kubvunza mai
asi kuti ndakashaya kuti ndotangira papi," akadaro Monica
akabata musanauyo wainge wadzoserwa mukati nairo dumbu
rake rainge rakura.
"Teerera. Vanenge vakasungwa vakawanda asi ndivo
vakauraya mukadzi uya?" akadaro Chipo akabata chipfuva
hana yava kurova nezvaainge anzwa VaZindoga vachitaura.
"Kana vari tete mai Mucheneta vakamuuraya,zvakaitika ini
ndainge ndaenda kupi?" akazvibvunza akatarisa Monica uyo
ainge akavhura nzeve achiteerera nyaya yaitaurwa navam-
wene vake pamwe chete navatezvara vake.
"Mira tinzwe panenge pataurwa zita ravatete vangu," aka-
daro Monica.
"Vanenge vari kunzi vakasungwawo, teerera.Panenge pa-
kasungwa vanhu vakawanda.Avo vari kunzi mai Chipo dai
vakasaita amai vangu nekuti pano ndingatakura twangu
ndoenda. Handina mwana wepano ini," akadaro Chipo aka-
changobata pachipfuva.
"Mai Tavonga!" rakadaro inzwi ramai Norest richishev-
edza riri mumba.
"Mhaa!" akapindura Monica achifamba kupinda mumba.
"Ko amainini vako vari kupi? Huyai mose," vakadaro
VaZindoga vangoona Monica achipinda ari oga muimba
yekubikira.
Monica akangotendeuka ndokudongorera panze achishev-
edza Chipo uyo ainge asara akangomira muberere.Vakapinda
mumba ndokundogara pasi.
"Ndini ndakushevedzai vanangu.Munogona kunge
makangonzwa nemakuhwa asi ndati regai nditaure nemi.
Handiti munoziva dambudziko ratakasangana naro masvondo
adarika?" vakadaro VaZindoga ndokumirira kuti varoora vavo
vapindure.
Monica naChipo vakangopindura nekugutsurira miso-
ro.VaZindoga vakaenderera mberi nenyaya yavo,"Zvino pane
vanhu varikufungidzirwa kuti ndivo vakakonzera dambudziko

~ 125 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

riya. Mumwe wavo ndewemhuri yangu,tete venyu mai


Muchaneta," vakambomira zvishoma ndokusimudzira vo-
ti,"Zviri kunzi havana kuita izvi vari voga.Pane vamwe vav-
aiva navo vanosanganisira amai vako pamwe chete navatete
vako," vakadaro vachinongedza Chipo uyo akaramba akavati
ndee mumaziso. Aiita seainge asina kunyatsonzwa zvainge
zvataurwa naVaZindoga.Akaona VaZindoga vashama muro-
mo ndokunyatsovhura nzeve achifunga kuti vainge varikud-
zokorora zvavainge vataura.
"Wekupedzisira anonzi aivapo ndivatete vako,mai Tavom-
ga," vakadaro VaZindoga.
Monica naChipo vakatarisana zviya zvekuti asi mudhara
ava kupenga here uyu.
"Baba..." akadaro Monica uyo akagurisirwa panzira na-
vamwene vake vainge vachitaurawo panguva imwe cheteyo.
"Ndine hurombo vanangu nezvakaitika.Vose vari kunzi
vakaenda kuChikuku kumapurisa uko.Zvino hatizive
pavachaenda kumatare iwayo anongotaurwa kuti vachanzi
kudini. Ndiyo nyaya iri pano vanangu," vakadaro mai Norest
vachishereketa.
Pakangopedza mai Norest kutaura Monica akasimuka
ndokubva abuda panze,misodzi yainge yave kuyerera nechiso
zvino.Akaenda kuimba yake ndokusvikozvivharira.
"Why tete? Why? Handina kunge ndaziva kuti ndizvo
zvamuri.Ah, maihwe zvangu ini!" akadaro achiita seari kutau-
ra nemunhu apa ari oga mumba umu.Akagara pasi misodzi
ichingochururuka.Akazosimuka mushuremechinguva ndoku-
buda panze akaona zuva ratorereka.Akatsvaga amainini vake
kuti varonge zvekuenda kumapurisa asi akanzwa kuti vainge
vatoenda.Akagadziririra ndokuonekana navamwene vake avo
vainge vangosara nevazukuru vavo pamba apa.
"Wadii waenda mangwana muroora? Kwava kudoka
uku.Unozofamba sei kwasviba iwe wakazvitakura?" vakadaro
vamwene vake.
"Ndinofamba amai," akadaro Monica misodzi yakajenga
mumaziso.
~ 126 ~
Abraham Makamera

"Usachema muroora ndezvekutoshinga izvi.Ndizvo zva-


tovapo," vakadaro mai Norest avo vasina akazovapindura.
Monica akabuda muchivanze ndiye munzira nyen-
gu.Akafamba ndokumbondomira pachiteshi akamirira moto-
kari.Akaona nguva yarebesa pasina motokari yauya
ndokufanofamba achitevedza mugwagwa.Ati fambe fambe
akanzwa kutinhira kwemotokari kumashure kwake
ndokutsaukira padivi.Akamisa motokari ndokupinda.Pasina
chinguva ainge atova paChikuku Police Station.
Achindosvika akabvunza nezvavatete vake avo vakanzi
vainge vabva paChikuku musi uyu vachienda kudare redzim-
hosva kuMasvingo.
Haana kupedza nguva aripo ndokukumbira kuziva kwaiva
nedare redzimhosva muMasvingo izvo zvaakawana neku-
chimbidza pakamba iyi.
Akandokwira motokari dzaienda kuMasvingo ndokundo-
virirwa nezuva achipinda muMasvingo.Semunhu aiva mutsva
mudhorobha iri akamboita chadzimira chekushaya kuziva kuti
onanga kupi.Akazobvunza vamwe amai vaizvitengesera
pamusika wavo waiva padivi pemugwagwa ndokuratidzwa
kwaiva nedare redzimhosva mudhorobha iri.
"Munoda kundoiteiko kudare nguva dzino?" vakabvumza
amai vaya vaona kuti Monica pane zvainge zviri kumunetsa.
"Ndiri kuda kundoona vatete vangu vanzi vauya kuno
nhasi mangwanani," akapindura Monica avakutofamba achib-
va paiva namai vaya.
Ko ainge achizvizivira kupi kuti dare redzimhosva rainge
ravhara asati atombopinda mudhorobha iri. Ainge atoriwo
mutsva wetsambo munyaya idzi.Pose apa aingofunga kuti
aingondosvika achiona vatete vake panzvimbo iyi.Mai vaya
vakambozama kushevedzera vachiudza Monica kuti dare
redzimhosva rainge ravarwa asi hapana akavanzwa.
Akasvika padare redzimhosva kwatosviba.Akaona musiwo
muhombe wemudhuri wedare redzimhosva wakavharwa
ndokutenderera achiti achaona mumwe musiwo wakavhurika
asi yose yaaiona yainge yakavharwa.Akadzokera pamusiwo

~ 127 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

muhombe uya ndokugara pakacheya kaivapo.Akapfeka juzi


rakendokufuga kachichari kaaiva nako.Misodzi yakatanga
ichamboyererera kudzikama yapera.Paakazoda kubatirwa
nehope kwainge kwatoedza.Nekuda kwekuti paiva nemwenje
wemagetsi uye kuti kwaisava nemachongwe aainge ajaira ai-
tofunga kuti huchiri husiku.Akarara akazendama nemadziro
emudhuri uyu.Akatozomutswa nemupurisa ainge atanga
kusvika padare redzimhosva iri.
"Kwakanaka here amai? Asi marara pano?" akabvunza
mupurisa uya aona Monica ari kubvunda nechando.
"Hongu ndauyawo kuzoona tete vangu vanzi vaunzwa
kuno nemapurisa ekuChikuku," akapindura Monica achipuku-
ta maziso ake ayo ainge azere hope.
"Vari kupomerwa mhosva yechii?"
"Zviri kunzi vakauraya munhu.Makambonzwawo nezva-
vo?" akabvunza Monica misodzi iya yava kutangazve kuyere-
ra.
"Aiwa handina,ndatanga basa nhasi.Ndange ndiri kuzo-
roro.Ndipeiwo mazita avo akazara ndigokubatsirai," akadaro
mupurisa uya achibuditsa chinyoreso nekamwe kabhuku
ndokunyora pasi zvaaiudzwa naMonica.
"Chigarai apo, dare rava kuda kuvhurwa,"Akadaro mupuri-
sa uya.Panguva iyi vanhu vainge vave vachiita vachiwanda
panzvimbo iyi.Vamwe ndivo vaiuya nemapurisa vakaiswa
njema vamwewo vaingozvifambira vari voga.Mushure
mechinguva mupurisa uya ainge ambotaura naMonica mun-
guva pfupi yadarika akadzoka zvakare ndokuudza Monica kuti
vatete vake vainge vari kusvika munguva pfupi yaitetevera.
Monica akagara akatarisa vanhu vose vaipinda nekubuda
nepamusiwo wemudhuri uyu achitarisira kuona vatete vake
asi hazvina kuita saizvozvo.
Kwakazoti kwaperera nguva akaona motokari yakasvika
pazvimbo iyi,iyo yainge ine vanhu vakapfeka hembe dzekaki
vamwewo chena vakadzi vange vakapfekawo dzegirini.
Akaswedera kwaiva nemotokari iyi achida kunyatsoona
vanhu vaivamo.Nekutya pfuti dzainge dzakabatwa nevainge
~ 128 ~
Abraham Makamera

vakachengeta vanhu ava akamira chinhambwe kubva paiva


nemotokari iyi.Akaona munhu waakafananidzira namai
Muchaneta uyo waakasimudzira ruoko. Mukadai uya
akasimudzawo ruoko ndokuzotaura nemumwe aiva padivi pa-
ke uyo akazongoshevedza zita raMonica.
Kungonzwa inzwi ravatete vake,Monica akagadaira
achienda pamotokari iya apo paasina kuzosvika adziviswa
nemapurisa airinda vanavatete vake.
"Tete Why? Ndati Why tete?" akadaro Monica misodzi
ichidzika nematama.
"Ndaiitira iwe muzukuru, manje zvakazoita nepamwe.Sara
uchengete hanzvadzi yako," vakashevedzera mai Mavis vave
kupinzwa mumudhuri uya.
Monica akambosara akamira panze kwekanguva achisvim-
ha misodzi.Akapinda mukati memudhuri uya ndokushaya
kwekunanga mainge mangozara makamuri.Akabuda panze
ndokumbogara achiti zvimwe vachakurumidza kudzoka tete
vake.Akaona nguva yareba ndokusimuka ave kudzokera kum-
ba,asi misodzi yainge yaramba kuoma pachiso chake.

~ 129 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

TSAURO 21

K achekacheka kanyama kamakonde.Izvi ndizvo zvange


zvaitika pakati paMonica naChipo. Kubva musi
wavanzwa kuti hama dzavo dzainge dzauraya mukadzi weku-
wanikwa akafira mutsime uya,kuwirirana kwavo kwainge
kwave kuvava kunge gavakava. Chainge chavepo kupumhana
uroyi uyu achiti ndimai vako vakafurira tete vangu uyuwo
achiti nditete vako akafurira amai vangu. Nokudaro VaZindo-
ga vakambozama kugara nevaroora vavo pasi kuti vambomiri-
ra kupera kwenyaya yaiya kumatare edzimhosva,asi zvose
zvakatorwa nemhepo.Vakadzi vainge voita sevarumudzai ku-
ri kungogara vachichinjana zvibhakera.Sezvatinongoziva
machongwe haarire mamutanda mumwe chete,Chipo
akazoona kuti zvekugara pamusha paVaZindoga zvingazo-
konzera kurasika kwehupenyu hwake achibva asarudza kuen-
da kumusha kwavo.
Avawo vaMonica vangu vakasara vari voga vachingotyaira
zimbazi ravo iro rainge rave kuda kubheuka.Kubva zvabva
Chipo,Monica haana kuzotora nguva achibva abatsirwa
nemwanakomana.
Pakapera mwedzi mushure mekunge Monica abetserwa
akamuka mangwani ndokutsvaira chivanze.Apedza akad-
zokeramuimba yake ndokundoyamwisa mwana wake uyo
ainge ave kuchema.Akazobuda imomo ave kuenda kuimba
yekubikirwa uko kwaainge ashevedzwa navamwene vake.
"Ko zvaunongoswera wakagara pano unoti mwana wako
anodyei? Handiti unoziva murume wako akaenda kuSoutha
Africa uko achitizawo nyaya dzavanavatete vako?" Vakadaro
mai Norest. Zvizhinji zvakataurwa apa hazvina kumushamisa
nekuti ndiwo ainge ave magariro ake.Kubva zvakaenda Chipo
vamwene vake vaimutukirira nekuku vatezvara vakewo vain-
goita zvimwechete.

~ 130 ~
Abraham Makamera

Chakanyanya kumushamisa inyaya yemurume wake iyo


yaainge atanga kunzwa musi uyu.
"Akaenda kuSouth Africa?" akabvunza Monica achi-
shamisika.
"Hongu ndinoshaya kuti pano uchakagarira ani? Dai
ndaiva nemumwe mwanakomana ndaiti zvimwe ndiye acha-
zongokugara nhaka chero zvazvo mukoma wake ari
mupenyu.Zvino ndaguma ini. Ndaiti zvimwe mainini vako
vakakuudza ini," vakadaro vakatarisa muroora wavo uyo
ainge ave kungosvimha misodzi.
"Ko wave kuchemei muroora? Ko baba vakakuudza here
kuti vanavatete vako vakatongerwa makore gumi nemaviri
vari mujeri?" vakabvunza vachigofa gofa muchoto.
"Makore mangani?" akabvumza Monica achiita seasina
kunzwa zvainge zvataurwa navamwene vake.
"Ndati 12 years mhani iwe.Unobvunza wakanditarisa sezvi-
nonzi ndini ndakavatonga Seiko? Ndiwe wakakonzeresa zvese
izvozvi.Ndinofunga ndizvo zvamutori dzinza rese," Vakadaro
vachitendeka Monica uyo akaramba akangovatarisa misodzi
ichidzika nematama.
"Usanditarisa apa mhani.Buda muno!"
"Ndinokumbira ruregerero kana ndakakutadzirai
amai.Zvino kana mukandidzinga munoti ndinoendepi nemwa-
na mucheche akadai?" akadaro achibvisa mwana wake
pamukaka ndokumuradzika pamakumbo ake.Misodzi yaingo-
donha imwe ndiyo yaienda pamwana imwe ichienda pachi-
gumbeze chaainge akamonera nacho mwana." Mubvunzo we-
kundibvunza here iwoyo? Ini ndakabereka vangu vana ndi-
kachengeta. Wava kuda kuti ndikuchengetere wakozve here?
Usada kundikwidza Bp yangu wanzwa here?" Panguva iyi
chiso chamai Norest chainge chasanduka, maziso ainge ave
kupenya seekatsi iri murima.Monica akazviona ndokusimuka
ave kunanga kuimba yake.Akasvikopinda ndokuradzika mwa-
na wake ndokumbogara akamutarisa.Misodzi yakaramba
kumira ndokuramba ichingodzika nematama.Akazorara padivi
nemwana wake ndokuzobatirwa nehope achingoche-
~ 131 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

ma.Akazotomutswa navatezvara vake avo vainge vauya


vachibva kudoro vakaita kukakatwa nahwo hwefuro jena.
Harahwa yainge yakadhakwa kwete zvekutamba.Vaiita se-
vainge vanwira Monica hwahwa musi uyu.
"Kachiri pano here kamukadzi kaya?" vakadaro vachipinda
muchivanze apakachigubhu kaiva nehwahwa kainge kakaiswa
muhaphwa kachinzi kakambovhurwa kombonzi pamuromo
tsinda kobviswa kodzorerwa muhapwa zvekare."Iwe mukadzi
iwe, buda mumba umo undipindure mhani.Ndati kaenda here
kamukadzi kaya?" vakadaro VaZindoga vamira pakati pechiv-
anze.
"Achiripo Shumba ndatombozama kumuudzawo masikati
asi ange akatovhara zvake nzeve," vakadaro mai Norest
vachibuda muimba yekubikira umo vainge vachibika.
"Anopenga mwana uyu haikona? Arikupi izvozvi?"
vakabvunza VaZindoga vachisimudza kachigubh kavainge
vatsveta pasi.Vakachiti tsinda pamuroomo ndokudhudhudzira
hwahwa hwese hwainge hwasara.
“Anenge ari mumba make umo."
"Anopenga chete mwana uyu.Anotoita seakavaka imba
pano sei?Ngaabude imomo," vakadaro VaZindoga vachifamba
kuenda kuimba yaiva naMonica. Vakasvikogugudza
zvinesimba Monica ndokuvhura musiwo.Chiso chake chairati-
dzika semunhu ainge akarara.
"Unotorara zvako pano, wakavaka musha here pano?
Mhondi yemunhu.Budisa mwana wako mumba yemwana
wangu," vakadaroro vakamira.
"Iwe, ndiri kutaura newe.Ndakakuudza kakawandaasihaude
kuteerera.Chibva wabva pano.Handichadi kukuona nemwana
wako pano," vakapedzisira nekudzvova.
"Baba sorry zvenyu? Zvino mukandidzinga,munoti ndi-
noenda kupi nemwana iyeyu baba?" akademba akabata mwana
mumaoko uyo ainge amuka.
"Izvo ndezvako izvo. Ndini baba vemwana uyu here
zvawava kunditongesa pamusha pangu? Ibva watora zvibhegi
zvako ubve pano," vakadaro vachipinda muimba yaMonica
~ 132 ~
Abraham Makamera

ndokutanga kukanda nhumbi dzaMonica panze.Paiitika izvi


vamwene vaMonica vainge vakamira pamusiwo vachinyemw-
erera nezvainge zvichiitika.
"Baba ndokumbirawo ruregerero" akadaro Monica achip-
fugama.
"Iwe unopfugamirira murume wangu washaya wekup-
fugamirira here? Simuka zvauchatonditorera murume nda-
katarisa," vakadaro mai Norest vachifamba kuenda kwaiva
nemurume wavo naMonica vakasvikobata Monica nebvudzi
ndokumuzvuva kuti asimuke.
"Tora zvinhu zvako izvi ubve pano izvozvi," vakadaro
vachinongedza hembe dzaMonica idzo dzainge dzazara
pasi.Monica akasimuka ndokubereka mwana wake kumusa-
na.Apedzazvo akatatora hembe dzake ndokudziisa mubhegi
rake.Akabva pamusha apa ndokutora nzira yainanga ku-
madokero kwemusha uyu.
Ati fambe fambe akanomira achiita semunhu ari kufunga
zvekuita.Akazosimudzira zvino achiita seainge afunga kudzo-
kera kumusha kwavo.Akafamba apa mwana achingochema
kumusana.Wose waaisangana naye aingomuudza kuti
ayamwise mwana asi hapana aizviteerera.Kunze kwainge
kwave kuti zvarara zvino.Kwakazonyatsosviba achangopinda
murwizi asi kuzobuda kwake hakuna akazokuona.Akafamba
achikwidza nerwizi, mwana ainge anyarara zvino.Chainge
chave kutofoza zvacho chanakirwa nekukumusana kwaamai
vacho.
Akatevedza rwizi ndokundosvika padhamu raive rakazara
nemvura. Akamira pamudhuri wedhamu iri kwekanguva.
Chakazotevera hapana achaziva.Chakazongoonekwa zuva ra-
katevera racho mutumbi wemukadzi ainge akabereka mwana
kumusana,uyo wakawanikwa nechimwe chikomana chainge
chichirisa mombe munzvimbo yakatenderedza dhamu iri.
Chikomana chakamhanya ndokuenda kumba kwavo uko
kwaakandoudza ambuya vake.Ambuya kungonzwa mashoko
emuzukuru wavo vakasimuka ndokuvhara musiwo wa-
vo.Vakananga kumba kwemwanakomana wavo uko

~ 133 ~
Panomera Muswe Panoyevedza

kwavakandosvikopira nyaya yainge yauya nemuzukuru wa-


vo.Murume uya akaenda kudhamu nechikomana chiya
ndokundosvikozvionera pamhinho sefodya.Pavakazosvika
kudhamu mutumbi wemukadzi uya wainge wava kumhen-
dekedzo kwedhamu iri.Vakaenda padyo ndokuona inga
munhu uyu vaimuziva.
"Tapiwa huya pano," akadaro murume uya achisuduruka
kubva pamudhuri wedhamu riya.
Chikomana chakatevera murume uya ndokundomira
chakabata musoro.
"Ko nhai baba,ndisisi Monica here ava?" chakabvudza
chikomana chiya chakabata chidemo muruoko rwacho
rwerudyi.
"Chimbodzora mombe idzo dzinozopinda mumagarden
evanhu," akadaro murume uya ndokusara ave kudzokera
padyo nemutumbi uya.Akaramba akautarisa ndokuzodzun-
gudza musoro.
"Ndivoka baba?" chakadaro Tapiwa chadzoka.
"Ko watodzoka? Chienda kumba undoti mukoma vako
vauye kuno," akadaro murume uya.
Tapiwanashe chakamboramba chakatarisa mumvura.
Chakazobva paya kwava kuenda kwachainge chatumwa.
Chakandosvikosiya shoko ndokubva chadzoka pasina
chinguva.
"Ini zvangu ini.Mati ndoita seiko nhai Nyadenga? Mwana
oenda kujere muzukuru ozviuraya," vakadaro VaMakunge
vanzwa kuti munhu ainge aonekwa naTapiwanashe mudhamu
aiva Monica.Chembere yakasara ine misodzi yakaramba kuo-
ma pamatama.Chakanyanya kuvarwadza ndechekuti vaiga-
roudza mwana wavo nemuzukuru nekuda kwehunhu hwavo
asi vakaramba kuteerera. Zvechokwadi Panomera muswe
panonyeredza.

MAGUMO

~ 134 ~

You might also like