Professional Documents
Culture Documents
MUSWE
PANONYEREDZA
Na
Abraham Makamera
Panomera Muswe Panoyevedza
ISBN: 978-0-7974-7939-5
TSAURO 1
~5~
Panomera Muswe Panoyevedza
~8~
Abraham Makamera
TSAURO 2
~9~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 11 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 13 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 3
~ 14 ~
Abraham Makamera
~ 15 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
vis.
"Waita zvako muzukuru,ugare kure nemoto. Mutupo chii
zviya?" vakadaro vachisungirira mari iya pachichari
chavainge vakamonera.
"Shumba Nyamuzihwa," akadaro achitsikitsira pasi.
"Ahh muri babamudiki vangu. Murume wangu aiyera
Shumba Nyamuzihwa. Regai ndikutendei nemutupo:
Maita Nyamuzihwa,
Shumba, Hara, maita Muchori.
Maita vaNanga vasina mhezi,
Vakabva Buja nembondwe.
Maita Nechinanga, muzukuru waChakoreka.
Ewo Bonga, waChingate,
Muzukuru waMapahwe, wari Choma,
Ewoyi Shumba, maita Hara.
Maita Nonga rangu riri,
Maita Nyamuzihwa, maita vari Mangadza.
Maita vari Domboshava rina mavara machena,
Dombo rakaramba kumera uswa nemiti,
Rinoti kukwira munokwira namabvi,
Rina makwapamakwapa anenge nzira.
Maita zvenyu Shumba,
Chikanda changu chichi,
Maita vaTsuri vamasawara.
Kana musipo hapana chinochekwa.
Maita Chiurayi, hekani Chikanda,
~ 16 ~
Abraham Makamera
~ 17 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
dure.
Promise akati koso koso ndokuti," Ndini ndiri kuenda naye
tete."
"Kana uriwe zvakanaka muzukuru,uchengete vadzimai
vako avo. Wotofamba uchivadzidzisawo mutupo wako," vaka-
daro vachiseka zvavo.
"Zvakanakai tete," akadaro Promise achinyara nyara.Mai
Mavis vakabuda ndokutorana nemuzukuru wavo, Tapiwa-
nashe voenda. Vakadarika nekwavaMakunge vachivatora
ndokuenda kumba kwehanzvadzi yavo.
Monica akasara ndokusimuka paainge akagara ndokuenda
paiva naPromise. Akamubata nemaoko ndokumusimudza
paainge akagara. Akamumbundira ndokumbotora kanguva
vakadaro.
"Waita zvako," akadaro Monica achitarisa Promise
mumaziso chaimo.
"It's ok babe. Ko ngatichibudaka tiende. Tanonoka," akadaro
Promise mushure mekutsvoda Monica padama.
Monica akarongedza mapoto, mushure ndokutevera Prom-
ise ainge atova panze.
"Ko tiri kudzoka nguvai?" akadaro achivhara gonhi repam-
ba yekubikira.
"Around 5. Asi uri kuda kukurumidza kudzoka here?"
"Chero time dzatadzoka, asi ini handide zvekufamba usiku,"
akadaro Monica achirereka musoro.
Vaviri ava vakananaidzana vachienda kumugwagwa. Vaka-
tora nzira yaitevedza gwara remombe kuitira kutiza veruzhin-
ji. Vachindosvika pachiteshi, hapana kupera nguva vasati va-
wana motokari yaindovasiya paGrowth point chaipo.
Vachindosvika vakatsvaga chikafu chemhando yepamusoro
ndokudya.Promise semunhu ainwa akapinda mubhawa
ndokubudaakabata mabhotoro ehuno hwutsvuku hwainge
huchipfungaira utsi nechando.
"Ko ini ndinonwa chii zvawangouya nebeer rako chete?"
"Tinonwa tese beer irori," akapindura achivhura bhotoro
rehwahwa.Akariti tsinda pamuromo, ndokuhukweva, chero
~ 18 ~
Abraham Makamera
~ 19 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 4
~ 20 ~
Abraham Makamera
~ 21 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
rashanduka zvino.
Hongu vaMakunge vainge vadya makisimusi akati kuti, asi
kana nyaya dzekuraira dzichinge dzatanga vaidzoka kuita
mudzimai wechidiki chaiye. Vainzwa simba richiuya mumuviri
wavo zvekuti mwana wavo mukuru vakatombomuvhara nem-
bama akandowira kwakadaro.
"Akarara munhanga make umo. Munoti angarara musango
mwana akura kudai achitadza kuziva kudzoka kumba here?
Iyo yekunwa doro handitoizivewo.Asi mangoita zinzwa nek
here guhwa rekwaMuvhimi kuti nzou dzoperera mumariva?"
Ava vaiva mai Mavis vaizama kununurira muzukuru wavo
uyo ainge ongobwaira bwaira.
"Iwe Ratidzai nyarara! Ndinokugobora netsvimbo iyi,"
vakadaro vachisimudza mudonzvo wavo vakanongedza mai
Mavis nawo.
Mai Mavis vakaona kuti zvinogona kungoipa ndokuramba
vakanyarara.
"Ndipindure Monica! Usandibuditsira maziso anenge
echidaira. Unoda kundivhundusira here?"
"Munoda ndikupindurei kuti chii nhai ambuya? Handiti
pane akuudzai kuti handina kurara kumba here, pamwe chete
nekuti ndainwa doro? Madii matomubvunza mibvunzo yese
yamuri kundibvunza iyi?" Apedza kutaura mashoko aya
akaenderera mberi nekutambisa nharembozha yake.
VaMakunge vakadzungudza musoro ndokutora fodya yavo
voputa. Monica ainge asanduka pachokwadi. Tsika dziya
dzaigarorumbidzwa dzainge dzatorwa nemhepo. Hunhu
chaihwo painge pasisina. Ainge angova dindimukwa mbune
mwana asikanzwi.Hapana waainge achatereerera.Akasimuka
paainge akagara ndokufamba achibuda panze.
"Wave kupenga here mwana iwe? Wapindwa nei chaizvo
Monica?" vakadaro vaMakunge misodzi ndokutanga kuyerera
nematama.
Monica akamira ndokutendeuka zvinyoro nyoro, akati koso
koso ndokuti," Ambuya zvamakanzwa ndizvozvo." Akatend-
euka ndokubuda panze.
~ 22 ~
Abraham Makamera
~ 24 ~
Abraham Makamera
TSAURO 5
~ 25 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 27 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 29 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 6
~ 30 ~
Abraham Makamera
~ 31 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 33 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 35 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 7
~ 36 ~
Abraham Makamera
~ 41 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 8
~ 42 ~
Abraham Makamera
~ 43 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 45 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 47 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 9
~ 48 ~
Abraham Makamera
~ 49 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 51 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 53 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 54 ~
Abraham Makamera
TSAURO 10
~ 55 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 57 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 61 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 11
~ 62 ~
Abraham Makamera
~ 63 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 65 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 67 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 68 ~
Abraham Makamera
TSAURO 12
~ 69 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 73 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 74 ~
Abraham Makamera
TSAURO 13
~ 75 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
vachinongedza Monica.
"Rose! Rose!" vakadaidzira VaZindoga vachishevedza
mwanawavo.
"Baba! Ndiri kuuya," akapindura achibuda munhanga
make.Akasvikogwadama pasi ndokumirira kuti baba vake
vataure zvavainge vamushevedzera.
"Tora bhegi raamaiguru vako iri uridzorere muimba mavo
umo."
"Ehoi baba" Akasimudza bhegi ndokuenda naro kumba
kwaamaiguru vake.
"Chinzwaka muroora. Chirara nhasi, totaura nyaya yenyu
mangwana.Apa ndange ndambonzwa sekuti vana baba vako
varikuuya kumapere mangwana," vakadaro VaZindoga
vachishereketa.
"Zvakanakai baba," akadaro akatsikitsira pasi.
Sadza rakadyiwa vanhu ndokuenda kundorara.VaZindoga
vakambosara vachitandara nemudzimai wavo vachifunga kuti
Promise angasvika asi vakaona nzira ingori mhepo chete.
Pavakazobuda muimba yekubikira vave kundorara nguva
dzainge dzatoenda.Ukuwo Monica ainge achiti akambogara
pasi,osimuka odongorera nepahwangwaridzo yaiva pagoni
reimba yake, odzokera ondogara pamusoro pebhegi raiva
nembatya dzake achiridza tsamwa.
Kunyangwe zvazvo VaZindoga vainge vamuvimbisa ku-
zogadzirisa nyaya yainge yaitika zuva richangonyura musi
uyu,hazvina kukwanisa kudzora pfungwa dzake dzekuda
kuenda kumusha kwavo. Ainge akangomirira kuti vanhu
varare otakura twake oenda.
Akambopuruzira dumbu rake iro rainge roita sereshato
yamedza mbudzi.Mushure akasimuka ndokudongorerazve
akanzwa panze hapasisina kana ruzha. Mazwi aVaZindoga
nemudzimai wavo aainge achimbonzwa ainge anyarara. Akad-
zokera paiva nebhegi rake ndokuritakura, nakambomira aka-
bata dumbu rake.
"Ko mwana uyu ndinozoita sei naye?" akazvibvunza achi-
taura ega.Akadzorera bhegi pakare ndokumbogara pamusoro
~ 76 ~
Abraham Makamera
~ 77 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
vachikatyamara.
"Hongu tete."
"Ko kufamba neusiku kudai kwakanaka here?" vakadaro
vachinyatsovhura musiwo zvino vangomira vakatarisa muzu-
kuru wavo uyo ainge angozembera madziro.
"Its a long story tete," akatura befu, mushure ndokukotama
akabata mabvi ake.
"Long story,long story kuita seiko nhai? Chii chiri apo icho?"
vakadaro vachitendeka bhegi raMonica.
"Imbatya dzangu."
"Mbatya! Monica chii chaitika.Asi watiza murume here?
Hande tindogara pane bhegi rako ipapo unyatsondiudza nyaya
yako.Vakatsveta rambi ravainge vakabata ndokubuda pan-
ze.Vakatora rupasa rwainge rwakazendamiswa pamadziro
eimba yekubikira ndokugarira.
Monica akambosara akakotama achiratidza kurwadziwa.
" Huya ugare pasi mhani iwe," vakadaro mai Mavis
vakwidza inzwi.
"Ko hasha ndedzei nhai tete? Munoti..."
"Iwe! Unoti ndingasaita hasha iwe uchindiitira matakanana
akadai? Unoda ndifarire chii ipapa? Gara pasi apa." Vakadaro
vachirova rova parupasa neruoko rwavo rwerudyi.
Monica akagara pasi akatandavara, apa maoko ainge
akadzamba pasi.
"Eh taura tinzwe.Chii chanetsa?" Mukadzi mukuru ainge
anonokerwa nekuda kuziva chainge chaita kuti muzukuru
wake afambe neusiku.
"Tadii tapinda mumba tete?Ndirikupindwa nechando ini,"
akadaro Monica achipeta maoko.
"Tsvee kupindura zvandabvunza wotondiudza zvekuton-
horwa kwako pano. Imba yaunoda kupinda ndeyani? Wakasi-
ya wavaka imba pano iwe? Ndipindure zvandabvunza Mon-
ica," vakadaro vatarisa muzukuru wavo neziso rainge roita
kupenya nehasha.
Monica nekuziva vatete vake akapindura nekukurumidza,
"Tete ini ndatiza murume. Auya nemumwe mudzimai, zvan-
~ 79 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
zi..."
"Wati auya nechii?" vakabvunza vachiita sevasina kunyat-
sonzwa zvainge zvataurwa nemuzukuru wavo.
"Auya nemumwe mudzimai," akadaro izwi radzikira.
"Zvino iwe ndizvo zvawatiza here? Ungatotiza zvako iwe
wakanzwa kuti Chipoanenhumbu yaPromise."
"Hakusi kugarika uko tete,ndanzwa nekurohwa tarisai
vanga iri ndivatete mai Muchaneta," akatambanudza ruoko
achiruisa padyo navatete vake kuti vaone paainge akuvara.
"Hapana chandinomboona apa mainini. Handei mumba
mune rambi umo," vakadaro vachisimuka kubva pavainge
vakagara.Vakasimudza bhegi raive nembatya dzaMonica
ndokufamba vachipinda muimba yavo yekurara, muzukuru
wavo ari mumashure.
"Gara nechepapo," vakadaro mai Mavis vachivhara
musiwo.
Monica akagara pasi chinyararire apa ruoko rweruboshwe
rwainge rwakabata muchiuno, achiratidza kurwadziwa.
"Ko chiizve mainini?" vakabvunza mai Mavis vaona chiso
chemuzukuru wavo kuti chainge chizere nekurwadziwa pam-
we chete nekushushikana.
"Mabayo tete,zvimwe kutakura zvinorema kwandaita"
"Mbatya idzodzi here nhai mainini?" vakabvunza
mubvunzo usina akapindura ndokuenderera mberi voti,"Wati
Promise akaroora mumwe mudzimai? Uri kurevesa here
Monica?"
"Ko ndinogonyeperei nhai tete" Akadaro misodzi yazara
mumaziso. Chiso chainge chachitarisa pasi zvino.
"Nditambidze nhare yangu iri apo iyo ndimufonere.
Akajaidzwa haikona.Anombozviziva here kuti kurara neunder
age imhosva? Akaita zvekutamba ndinomusungisa," va-
katambira nharembozha yavo ndokuitinya tinya mushure
ndokuisa panzeve.
"Mati mhosva kudii tete?" akadaro Monica achibvunzisisa.
"Mira ndimbotaura nebenzi iri.Hello...eh kunogonaka sei
iwe uchitamba nematope pasina mvura?"
~ 80 ~
Abraham Makamera
~ 81 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 14
~ 82 ~
Abraham Makamera
ramba kubuda.
"Mazvionaka? Kutongorara pano,moenda mangwana,"
vakadaro neizwi rakanyorovera riine kakunyengengera muk-
ati.
"Yes, hapana chakaipa tete," akadaro achitwasanudza gum-
bo rake reruboshwe.
"Zvakanakai baba vemwana.Zvino tinozouyawo kuHa-
rareyo zvariini?Tinoziva mukange maenda nemhuri yenyu isu
kuno totokanganikwa."
"Haiwa munouya tete. Tinokutumirai mari mouya."
"Totenda maruva tadya chakata. Tingazvimbira maoko
tichiuchirira chirongo chemvura tichiti ingoto.Mirai ndiku-
gadzirirei pekurara muzorore," vakasimuka mai Mavis
ndokubuda muimba yekubikira vachisiya Promise naMonica
vagere zvavo.Vakaenda muimba yavo yekurara ndokubuda
vakatakura magumbeze.Vakapinda nawo muimba yaimbova
nhanga yaMonica ndokuwaridza.Vapedzazvo vakadzokera
muimba yekubikira ndokuwana vaviri vachikurukura zvairati-
dza kuwirirana.
"Chiuyai muzorore musazofambe muine hope," vakadaro
vakamira padivi naMonica.
"Ndibateiwo ruoko ndisimuke," akadaro Monica achitam-
banudza ruoko rwake kuna mai Mavis.
"Apa ndangosimuka ndega apa," akadaro achiregedza ru-
oko rwavatete vake rwaainge akabatira.
Vakatevera Promise uyo ainge atova panze kare.
"Tomutsana mangwana," vakadaro mai Mavis vachienda
kuimba yavo yekurara.
"Zvakanakai tete," akadavira Promise achitevera Monica
ainge atopinda mumba nechekare.Akasvikowana Monica ak-
agara akazendama nemadziro.Akagwadama pasi ndokubata
maoko aMonica uyo ainge ave kutosvimha misodzi.Akazama
kumutaudza asi Monica akaramba achingochema asingapin-
dure.
"Monica chinyarara kuchema titaure.I am very sorry,"
akatsvetera Promise achigara pasi.
~ 86 ~
Abraham Makamera
~ 89 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 15
~ 90 ~
Abraham Makamera
~ 96 ~
Abraham Makamera
TSAURO 16
~ 97 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 99 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 103 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 104 ~
Abraham Makamera
TSAURO 17
~ 105 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
nayo.
"Tingachienda zvedu," akadaro Jena achisimuka
ndokusimudza mapepa ayo ainge aiswa mune rimwe bepa
raaita sezihamvuropu zihombe.
"Zvatokwana here Officer?" akadaro Monica achiratidza
kuti ainge achine zvimwe zvekutaura.
"Hongu. Muchine zvamunoda kutaura here maringe
nenyaya iyi?" akadaro Jena achidzokera pachigaro chake.
Vainyatsoziva Jena vaigona kupupura kuti iyi ndiyo imwe
yenzira yaaishandisa kuwana humbowo panyaya dzaanenge
achifeya. Aiita seasina basa nekunzwa zvakawanda maringe
nezvenyaya yaanenge achifeya izvo zvaizopa kuti munhu
arikupomerwa mhosva anzwe kuda kumuudza zvaanofungawo
maererano nenyaya yaanenge akatarisana nayo.
"Hongu Officer," akadaro achishereketa achiita semunhu
ainge ava kurwadziwa nekugara.
"Zvakanakai.Munganditsanangurira here?" akatora bepa
iro raainyora pasi zvose zvakataurwa naMonica.
Monica akazopedzisira nekukumbira Jena kuti aratidze
Promise chitupa chaainge amboona nguva shomanana yainge
yapfuura.
"Zvakanakai amai, asi murume wenyu ndinodavira
atochiona chitupa ichi musati machiona," akadaro achinyemw-
erera.
Monica akashaya neshumo yazvo nekuti ainge asina kum-
boona Promise achiratidzwa chitupa ichi,uye painge pasina
mumwe munhu ainge ambopinda muhofisi umu zvekuti anga-
fungira kuti pane angadaro avigira Jena chitupa ichi. Vaka-
kasimuka ndokubuda muhofisi umu ndokuenda kuhofisi ya-
vainge vasiya Sajeni Soko naPromise. Vakawana vaviri vasi-
mo ivo ndokugara pasi vachikurukura zvakasiyana siyana.
Mushure mechinguva Promise akadzoka akadungamidza
naSajeni Soko. Akasvikotarisa mudzimai wake ndokuona chiso
chake chisina mufaro. Jena akasimuka pabhenji paaiva akagara
ndokundogara pachituro chaiva padivi paSajeni Soko.
Akavhura bepa riya ndokubudisa mapepa aainge achinyora
~ 108 ~
Abraham Makamera
~ 110 ~
Abraham Makamera
TSAURO 18
~ 111 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 113 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
ndokutsunyirawo zvishoma."
"Zvakanaka Mukanya."Vakasimuka ndokuenda kwainge
kune vamwe vavaiva navo avo vainge vaungana pasi
pemushuma.
Pasina chinguva,mutumbi wakabva wasvika kubwiro
ndokuchengetedzwa.Vanhu vakazosimuka vave kunanga
kumba kwaVaZindoga ndokundodya.Vapedza vamwe vaka-
tanga kuita rumwe rumwe vachidzokera kumana kwavo.
"Ko wava kuregedza ichienda mbuya iya unoti tino-
zowanepizve fodya nhai Makwiramiti?" akadaro Mujezi aona
mai vaChipo vatova chinhambwe kubva pamusha apa.
"Arikupizve?" akadabvunza achisimuka kubva paainge ak-
agara.Mujezi haana kumupindura chaakangoita kunongedza
chete.
Soko akapinda munzira ndokufambisa achiitira kubata mai
vaChipo.Vakakwazisana Soko ndokuzotaura zvaainge afambi-
ra.Akapihwa fodya ndokudzokera kwaiva naMujezi
akasvikomupawo nepakati, Mujezi ndokupembera.Akamboisa
zvishoma mumhinho ndokuti,"Mai vanogadzira fodya mhani
ava."
Soko akangogutsurira musoro achinyemwerera.Akasimuka
ndokuonekana naMujezi ave kuenda. Munzira akaenda
achifara nezvaainge awana maringe nefiro yainge yaita
mushakabvu. Ko aitadza sei kufara iyo nyaya yaaifeya yainge
yave nepekutangaraizvo zvinova zvisina kunge zvazivikanwa
kana kufungirwa naMujezi. Mujeziwo akazongosara ave
kunetseka kuti murume waainge aswera naye zuva iri aimbo-
gara kupi. Akabvunzawo vamwe vainge vambomuona aina
Soko, avo vakamutsanangurira kuti Soko aiva mutikitivha
aishandira pakamba yepaChikuku. Akangozviudza neche-
mumoyo kuti,"Ndagara ndazviona kuti moyo washe here
bveni kuchengeta nyimo."
~ 116 ~
Abraham Makamera
TSAURO 19
~ 117 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 119 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
pamusha apa.
"Thank you," akadaro Soko ave kutofamba kubuda muchiv-
anze ichi. Uya mupurisa wechikadzi akatendendeuka
ndokutevera Soko.Vaviri ava vakafambisa ndokundosvikira
namai Mavis muchivanze chavo.
"Tisvikewo pano," akadaro Soko achipinda muchivanze.
Mai Mavis vacheuka ndokuona mapurisa akamira
akavatarisa.Havana kupindura ndokutura mugomo vave
kudurura mvura muchirongo chaiva muberere reimba yeku-
bikira.
"Ko kwakanaka here?" vakadaro vachifamba kundokwa-
zisana nemapurisa aya.
"Hongu tavinga imi in connection nesuspected murder case
yatiri kuferefeta," akatsanangura Soko akatarisa mai Mavis
avo vainge vakangomira vachiteerera zvaitaurwa.
"Zvino mati ini ndinokubatsiraiwo neiko zvangu? Ko
akauraiwa wacho ndiani? Akaurairwa kupiko munhu wacho?
Uye Riini?" vakaradanura mibvunzo yose iyi vasiri kupa
mapurisa aya nguva yekupindura.
"Zvino zvamava kubvunza mibvunzo hobho hobho munoda
tikupindurei sei?" akabvunza mupurisa uya wechikadzi.
"Ndati ndingakubatsirai neiko pakuferefeta nyaya yenyu
yamataura nezvayo nhai maofficers?"
"Amai zvamunoona tauya pano kudai, muri umwe wevanhu
vanofungidzirwa kuti makauraya mushakabvu watiri kutaura
nezvake." akadaro Mukadzi uya achikanda nhanho kuenda
paiva namai Mavis.
"Munondishurira here imi?Ini kuuraya?Ani wanda-
kauraya? Aya ndiwo anonzi mashura chaiwo," vakadaro mai
Mavis vachikwidza inzwi.
"Tiri kukusungai nekupomerwa mhosva yekuuraya Za-
dzisai Sunganai musi wa21 Juneiyo yamuri kunzi makapara
pamwechete naEunice Tsau,Tafadzwa Zindoga,Joice Gaza
uye Promise Zindoga," akadaro Soko. Paaitaura mashoko aya
ainge achitambidza mupurisa wechikadzi uya njema dzekuti
aise mumaoko amai Mavis.
~ 120 ~
Abraham Makamera
~ 122 ~
Abraham Makamera
TSAURO 20
~ 123 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 125 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 127 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
~ 129 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
TSAURO 21
~ 130 ~
Abraham Makamera
~ 133 ~
Panomera Muswe Panoyevedza
MAGUMO
~ 134 ~