You are on page 1of 2

MAGUNJE BARRACKS HIGH

BASA REMUDZIDZI

BANDIKO REBASA : Bandiko D

CHIDZIDZO : ChiShona

DANHO : Fomu 4

MHANDO : Chinoyoreso, bepa neTsvakurudzo

MUSORO : Mazita

MUSORONYANA : Mazita anoerava zvakafanana.

Musoro weCALA : Maumbirwo, mipanda uye zvinoreva mazita


akapiwa

UNYANZVI/ UTESVE : Kutsvakurudza

: Kudoma zvikwata zvemazita

: Kuumba /kuvaka mazita

HWARO

Mutauro weChiShona wakapfuma nemazita akasiyana-siyana anoreva


zvakafanana asi akaumbwa zvakasiyana.

Rondedzero yebasa rauchaita

Basa iri riri muzvikamu zviviri. Unotariswa kuita zvikamu zvese.

Chikamu A....Tsvakurudzo
 Ita tsvakurudzo yemazita gumi anoreva zvimwe chete anowanika mumutauro weChiShona
(10)
 Ratidza mupanda wezita roga roga riri muchikwata chemazita awanyora pamusoro (5)

Chikamu B .... Waridzo yebasa


 Ratidza maumbirwo emazita ose awanyora pa chikamu A (10)
 Tsanangura uchipawo muenzaniso zvikonzero zviviri zvaita kuti mazita anoreva zvakafanana
awanike achipinda mumipanda yakasiyana (5)

Nhungamiri yemurairidzi paongororo


 Basa iri rine zvibodzwa makumi matatu (30)
 mukwenyi achanzvera zvikamu zvose A neB
 uchapiwa chiyero chegoho rako chinoratidza zvawakohwa.

You might also like