You are on page 1of 9

Home in the Word

Lenten Gospel Reading

Remain in my Word
May we be filled and satisfied,
by the Word which You give us (31)
Zvavakanga vavakusvika pedyo neJerusaremu,
vakasvika kuBhetifage, pagomo reMiorivhi. Jesu
akatuma vadzidzi vaviri achiti kwavari, “Endai
mumusha wakatarisana nemi, muchasvikowana
dhongi rakasungirirwa nomwana waro asunungurei
muuye nawo kwandiri. Kana mumwe munhu
akataura chinhu kwamuri, mutaurirei kuti, ‘Tenzi
anoada uye achaadzosa nokukurumidza.’ ”
Izvi zvakaitika kuti zvizadzise zvakataurwa nomupo-
rofita achiti, “Taurirai mukunda, guta reZioni, kuti
tarira uone Mambo wako ari kuuya kwauri akazvini-
nipisa, akatasva padhongi, padhongwana mwana
wedhongi.”
Vadzidzi vakaenda vakandoita sezvavakanga vata-
urirwa naJesu. Vakaunza dhongi nemwana waro.
Vakawaridza hanzu dzavo pamadhongi aya, Jesu
akabva atasva. Vanhu vazhinji vegurumwandira
riya vakawaridza hanzu dzavo mumugwagwa.
Vamwe vakakwanhura masanzu emiti vachiawarira
mumugwagwa. Gurusvusvu ravanhu vaiva mberi
nevaimutevera vaidaidzira vachiti,
“Hosana kuMwanakomana waDhavhidhi,
ngaarumbidzwe iye anouya muzita raTenzi.
Hosana kumusoro soro.”
Paakapinda muJerusaremu, guta rose rakanya-
nduka richiti, “Ndiani uyu?” Vanhu vazhinji vakati,
“Uyu ndiye muporofita Jesu wokuNazareti yoku-
Garirea.”
Jesu akapinda muTemberi yaMwari akadzinga
vakanga vachitengesa nokutenga muTemberi.
Akapidigurira pasi tafura dzavanhu vokutsinhanisa
mari nezvigaro zvaavo vaitengesa hangaiwa. Akati
kwavari zvakanyorwa zvichinzi, “Imba yangu icha-
nzi imba yokunamatira. Asi imi muri kuiita bako
ramakororo.”
Mapofu nemhetamakumbo vakauya kwaari muTe-
mberi akavarapa. Vapristi vakuru nenyanzvi dzomu-
temo pavakaona zvinaniso zvaakaita, navana vadu-
ku vaidaidzira muTemberi vachiti, “Hosana kuMwa-
nakomana waDhavhidhi” vakashatirwa. Vakati
kwaari, “Uri kunzwa here zviri kutaurwa navava.”
Jesu akati kwavari, “Hongu, asi hamuna kumbove-
renga here kuti: ‘Mumiromo yavapwere navano-
yamwa, makaburitsa kurumbidza kwakanakisisa.’”
Jesu akavasiya akabuda muguta akaenda kuBheta-
nia, akagarako. Mangwanani paakanga ava kudzo-
kera kuguta kuya, akanzwa nzara. Paakaona
muonde parutivi penzira akaenda pauri. Hapana
chaakawana pauri kunze kwamashizha chete. Akati
kwauri, “Usazombofa wakabereka muchero zva-
kare.” Muonde wakabva wauna pakarepo. Vadzidzi
pavakazviona vakashamiswa vachiti, “Ko muonde
uyu wauna sei pakare pakarepo kudai?” Jesu
ndokuvapindura achiti, “Zvechokwadi ndinoti
kwamuri, ‘Kana muine chitendero uye musinga-
kahadziki hamuiti chete zvaitika kumuonde, asi
kunyange mukati kugomo iri simudzwa ukandwe
munyanza zvichaitwa. Chipi nechipi chamuno-
kumbira mumunamato, muchazvigashira kana
muine chitendero.’ ”
Paakapinda muTemberi, vapristi vakuru navakuru
vakuru vavanhu vakauya kwaari paakanga achidzi-
dzisa, vakati: “Unoita zvinhu izvi nesimba raani
uye ndiani akakupa simba irori?” Jesu akavapindura
achiti, “Kana neniwo ndinoda kukubvunzai
mubvunzo. Kana mukandipa mhinduro, ini
ndinobva ndakutauriraiwo kuti ndinoita izvi
nesimba raani. Ruombeko rwaJohani rwakabvepi,
kudenga here kana kuvanhu?” Vakataurirana
vachiti, “Kana tikati rwakabva kudenga, iye achati
kwatiri ko makaregerei kutenda kwaari? Kana tikati
rwakabva kuvanhu tinotya uzhinji hwavanhu.
Nokuti vose vanoti Johani aiva muporofita.” Saka
vakapindura Jesu vachiti, “Hatizivi.” Iye akati
kwavari, “Kana neniwo handikutaurirei kuti
ndinoita izvi nesimba raani.
“Munofunga kuti kudii? Mumwe murume aiva
navanakomana vaviri, akaenda kuna wokutanga
wacho akati, ‘Mwanangu, enda nhasi undoshanda
mumunda wamagirepisi.’ Iye akapindura achiti,
‘Handidi,’ asi pashure akazozvidzora akaenda.
Akaenda kune wechipiri akataura zvimwechetezvo.
Mwanakomana akapindura achiti, ‘Ndinoenda
changamire,’ asi haana kuenda. Pakati pavaviri
ava ndoupi akaita zvaidiwa nababa vake?” Ivo
vakati, “Wokutanga.” Jesu akati kwavari, “Zvecho-
kwadi, ndinoti kwamuri, vateresi nepfambi vacha-
kutangirai kupinda muumambo hwaMwari. Nokuti
Johani akakuunzirai gwara roururami, asi imi hamu-
na kutenda maari asi vateresi nepfambi vakatenda
maari. Kunyange pamakazviona hamuna kutende-
uka muchitenda kwaari.
“Teererai munzwe mumwe muenzaniso. Kwaiva
nomumwe saimba akarima munda wamagirepisi
ndokuukomberedza noruzhowa. Akacheramo guvi
rokusvinira waini. Akavakawo nharire ndokuupa
kuna vamwe varimi vokuushandisa vachimu-
bhadhara, iye ndokuenda zvake kune imwe nyika.
Nguva yomuchero payakanga yava kusvika, aka-
tuma varanda vake kuna vaya vaishandisa munda
wake kuti awanewo muchero wake. Vaishandisa
munda wake vaya vakabata varanda vake, mumwe
vakamurova, mumwe vakamuuraya, mumwe vaka-
mutaka namabwe. Akatumazve vamwe varanda,
vakatowanda kupinda vokutanga vaya. Vakaita
zvimwechetezvo kwavari. Mushure mezvo akatuma
mwanakomana wake kwavari achiti, ‘Vachare-
mekedza mwanakomana wangu.’ Vaya vaishandisa
munda pavakaona mwanakomana uya vakati
pachavo, ‘Uyu ndiyeka mugari wenhaka, uyai timu-
uraye tizotora nhaka yake.’ Vakamutora vakamu-
kanda kunze kwomunda wamagirepisi vakamu-
uraya. Saizvozvo, kana muridzi womunda wamagi-
repisi akauya achaitei kune vokushandisa munda
wake vaya?” Ivo vakati kwaari, “Achaparadza
vanhu vakaipa ava norufu rwakaipisisa, achazopa
munda wamagirepisi iwoyo kuna vamwe vokuti
vaushandise vachimubhadhara vachimupa miche-
ro panguva yayo.”
Jesu akati kwavari, “Hamuna kumboverenga here
muMagwaro Matsvene kuti, ‘Dombo rakarambwa
navavaki ndiro rakazova romusimboti rapakona?
Uku kuita kwaTenzi uye kunotishamisa zvikuru.’
Naizvozvo, ndinoti kwamuri umambo hwaMwari
muchahutorerwa huchipiwa kuno rudzi runobereka
muchero yaho.” Vapristi vakuru navaFarisei pava-
kanzwa mienzaniso yake, vakazviona kuti aireva
ivo. Vaida kuti vamusunge asi vakatya uzhinji
hwavanhu nokuti vaimutora somuporofita.
Jesu akataurazve kwavari nemienzaniso achiti,
“Umambo hwedenga hungafanidzwe namambo
akaitira mwanakomana wake mabiko omuchato.
Akatuma varanda vake kundodaidza avo vakanga
vakokwa kumabiko omuchato; asi havana kuda
kuuya. Akatumazve vamwe varanda achiti indota-
urirai vakakokwa vaya kuti, ‘Onai, ndagadzirira
mabiko angu, ndabaya mombe, ndikabaya zvi-
mhuru zvangu zvakakora. Zvose zvagadzirirwa.
Chiuyai kumabiko omuchato.’ Asi ivo havana
kumboita hanya nazvo, vakabva vatoenda zvavo,
mumwe kupurazi yake, mumwe kushawo yake.
“Vamwewo vakatobata varanda vake, vakavafumura
vakavauraya. Mambo akashatirwa akatumira
masoja ake akaparadza mhondi idzodzo. Akapisa
guta ravo. Akazoti kuvaranda vake, ‘Muchato waga-
dzirirwa asi vaya vakakokwa vanga vasina kuko-
dzera. Saka endai pamharadzano dzemigwagwa
mundokoka kumabiko omuchato vose vamunenge
makwanisa kuwana.’ Varanda vaya vakafamba
nemigwagwa vakakokorodza vose vavakakwanisa
kuwana, vakanaka navakaipa. Saizvozvo zimba
romuchato rakazara navakanga vakokwa.
“Mambo paakauya kuzoona vaeni, akaona imomo
mumwe munhu akanga asina hanzu yomuchato.
Akati kwaari, ‘Shamwari, wapinda seiko muno
usina hanzu yomuchato?’ Akabva aomerwa nero-
kutaura. Mambo akati kuna vashandi vake, ‘Musu-
ngei maoko namakumbo mumukande murima
rokunze.’” Ikoko vanhu vachachema nokuruma-
nidza mazino. Nokuti vazhinji vanodaidzwa asi
vashoma ndivo vanosarudzwa.
VaFarisei vakaenda vakandoita musangano kuti
vangamubate sei mukutaura kwake. Vakatuma
kwaari vadzidzi vavo pamwechete nevechikwata
chokwaHerodhi vachiti, “Mudzidzisi, tinoziva kuti
muri munhu ari pachokwadi, uye kuti munodzidzisa
gwara raMwari zviri pachokwadi musingatyi munhu,
nokuti hamunei nechigaro chino munhu. Saka
tiudzei kuti munofungei, zviri pamutemo here kutera
mutero kuna Siza kana kuti kwete?” Jesu akaziva
uipi hwavo akati, “Munondiedzereiko nhai imi
vanyengedzi? Ndiratidzei mari yacho yamunotera
nayo mutero.” Vakamuunzira mari chena yainzi
dhenari. Jesu ndokuti kwavari, “Ko mufananidzo
uyu norunyoro urwu ndezvani?” Vakati, “Ndezva-
Siza.” Iye ndokuvati, “Ipai zvaSiza kuna Siza,
mupewo zvaMwari kuna Mwari.” Pavakazvinzwa
zvakavashamisa vakamusiya voenda zvavo.
Pazuva rimwechetero, vaSadhusei vakauyawo
kwaari. Ndivo vaya vanoti zvokumuka kwavakafa
hakuna. Vakamubvunza vachiti, “Mudzidzisi,
Mosesi akati kana murume akafa asina vana
munun’una wake anofanira kumugara nhaka kuti
aberekere mukoma vana. Zvino pakati pedu kwaiva
navarume, mukoma nomunun’una vanomwe.
Wokutanga akaroora akafa asina kuita vana. Akasiya
mukadzi wake kumunun’una wake. Ndizvozvowo
zvakaitika kune wechipiri newechitatu kusvika kune
wechinomwe. Mushure mavo vose, mukadzi uya
akafa. Ko zvino pakumuka kwavakafa achava
mukadzi woupi pavanomwe ivava nokuti akambova
wavo vose zvavo?”
Jesu akavapindura achiti, “Munokanganisa, nokuti
hamuzivi Magwaro Matsvene uye simba raMwari.
Nokuti pakumuka kwavanhu kubva kuvafi,
havazoroori kana kuroorwa. Asi vanenge vaita
savatumwa vokudenga. Pane zvokumuka kwava-
kafa hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari
kwamuri achiti, ‘Ndini Mwari waAbhurahamu,
naMwari, waIsaki, naMwari, waJakobho. Haasi
Mwari wavakafa asi Mwari wavapenyu?’” Uzhinji
hwavanhu pahwakazvinzwa hwakashamiswa
nechidzidziso chake.
VaFarisei pavakanzwa kuti akapwisa vaSadhusei,
vakaungana. Mumwe wavo aiva gweta akamu-
bvunza mubvunzo wokumuedza achiti, “Mudzidzisi
ndoupi murao mukuru mumutemo?”
Jesu akati kwaari, “Ida Tenzi Mwari wako nomwoyo
wako wose nomweya wako wose, nepfungwa dzako
dzose. Iwoyu ndiwo mutemo mukuru, uye wokuta-
nga. Wechipiri wakafanana naiwo unoti, ‘Ida
mumwe wako sokuda kwaunozviita iwe pachako.’
Mirao miviri iyoyi ndiyo misimboti yemitemo yose
navaporofita.”
VaFarisei pavakanga vakaungana, Jesu akavabvunza
mubvunzo achiti, “Munofungei nezvaKristu? Mwana-
komana waani?” Vakati kwaari, “Mwana waDha-
vhidhi.” Iye akati kwavari, “Ko sei Dhavhidhi, afeme-
rwa naMweya Mutsvene, anomuti Tenzi paanoti,
‘Tenzi akati kuna tenzi wangu gara kurudyi rwangu,
kusvikira ndaisa vavengi vako pasi petsoka dzako?’
Ko zvino kana Dhavhidhi achimuti, ‘Tenzi,’ ko
angave Mwana wake sei?” Hapana akagona kumu-
pindura kana izwi zvaro. Uyewo kubvira pazuva
iroro, hapana akazofemerazve kumubvunza mibvu-
nzo mimwe.

You might also like