Professional Documents
Culture Documents
Shona 1 April
Shona 1 April
VaChipikiri nemuzukuru wavo vaiva mushishi yokupura mhunga. Nenguva isipi pakanga pava nedutu remhunga.
VaChipikiri vakatuma Tarisai muzukuru wavo kundotora chibako chavo chaiva pachikuva, mumba. Tarisai
muzukuru wavo akaita chamuhwiriri ndiye mumba nyengu. Sekuru vakaramba vachipura mhunga.
Tarisai akabuda mumba maziso akati piriviri kutsvuka. Kungozviti ba, VaChipikiri vakamhanyira Tarisai vakati,
“Chii chiri pamhino?” Pamhino paiva pazere fodya tsvukutsvuku. Hapana akavapindura. Maziso emwana aiva
ongoti vudzvu uku yangove hotsi hotsi. Mukuru akaona chibako chefodya chakavhurika ndokurohwa nehana. “Uku
ndiko kuzvituma chaiko,” vakadaro vaChipikiri.
1. VaChipikiri vaiitei?
A. vaipepeta mhunga B. vaicheka mhunga
C. vairima mhunga D. vaipura mhunga.
9. Tuchembere _____ hatubviri pakudzana padare, usaona tsinga kuti tare tare muhuro.
A. idzo B. iyo
C. ayo D. utwo
Chomuti aiva chikomana chakanga chanwa mukaka chikaguta, chino chivhindikiti chomukomana.
Hapana aigona kukanda tsvimbo kumudarika. Haaipotsa kana ada kutema chinhu. Nokudaro shamwari
dzake dzaimufarira kumafuro kune vaya vana Jongwemuzvitiyo.
Vana Jongwemuzvitiyo vaiti kana vamuona vaibva vaziva kuti zuva iroro vaizoita madzoro emombe.
Pakanga pasisina zvokuti vadiki endai. Chomuti aifarira kutamba zvakanaka navamwe asi hasha dzake
dzaive pahuma saka nguva zhinji aida zvake kufara. Mumakura mavaiswera vaidya maroro,
tsvoritsvoto, tsambatsi nenyii. Kumba sadza vaitodyira chirango chete. Iye ainyanyofarira tsvoritsvoto.
ISA MUUZHINJI
24. Mudzimai
A. mukadzi B. vadzimai
C. anamai D. madzimai
25. Doro
A. matura B. matara
C. matoro D. doro
Choto School
Box 83
Masvingo
19 Chivabvu 2021
MukomaTanatswa
Ndinokuzivisai kuti kumusha hakuna mufaro. Sekuru Ndangariro vakatisiya pakupera kwesvondo.
Vakachengetwa neSvondo zuva rorereka. Hapana anoziva chakakonzera rufu rwavo, asi musoro
namapipito zvaiva namavanga.
Basa rapera kushandwa mombe yakazofa. Mbuya VaZinatsa vatosvika nhasi uno vakawana mwana
wavo ava namazuva maviri ari pasi. Vatongozoita zvokunotaridzwa kumba kwacho kuti vachikanda
chibwe. Kana imi mouya kuzobata maoko, musakanganwe kutuma shoko kwaShoko.
VANA VEMHUKA