You are on page 1of 7

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA.

VaChipikiri nemuzukuru wavo vaiva mushishi yokupura mhunga. Nenguva isipi pakanga pava nedutu remhunga.
VaChipikiri vakatuma Tarisai muzukuru wavo kundotora chibako chavo chaiva pachikuva, mumba. Tarisai
muzukuru wavo akaita chamuhwiriri ndiye mumba nyengu. Sekuru vakaramba vachipura mhunga.

Tarisai akabuda mumba maziso akati piriviri kutsvuka. Kungozviti ba, VaChipikiri vakamhanyira Tarisai vakati,
“Chii chiri pamhino?” Pamhino paiva pazere fodya tsvukutsvuku. Hapana akavapindura. Maziso emwana aiva
ongoti vudzvu uku yangove hotsi hotsi. Mukuru akaona chibako chefodya chakavhurika ndokurohwa nehana. “Uku
ndiko kuzvituma chaiko,” vakadaro vaChipikiri.

1. VaChipikiri vaiitei?
A. vaipepeta mhunga B. vaicheka mhunga
C. vairima mhunga D. vaipura mhunga.

2. Chibako chefodya chaiva


A. pachakachengeteka zvakanaka B. pachikuva
C. paisasvikirwa naTarisai D. panzvimbo yaibikirwa

3. Kubva munyaya iyi chii chaiva pamhino paTarisai?


A. upfu B. mavhu matsvukutsvuku
C. fodya D. mushonga wechipatara

4. Sei VaChipikiri vakarohwa nehana?


A. Tarisai aive asvuta fodya. B. Tarisai aifamba zvishoma.
C. Tarisai aive arasa fodya. D. Tarisai aimhanya.

5. Maziso aTarisai aive aita sei?


A. akatsvuka B. akachena
C. akatsinzina D. aichema

6. Kubva munyaya iyi chii change chongoitwa naTarisai?


A. aingo takwaira B. Chamuhwiriri
C. aihotsira D. angoti tasa.

7. Nderipi izwi riri munyaya rinoreva kumhanya zvikuru?


A. angotakwaira B. chamuhwiriri
C. amhanyira D. rakamhanya
8. VaChipikiri pavakaona chibako chefodya chakavhurika vaka
A. donha pasi B. rohwa nehana
C. vakafa D. vakachema.

SARUDZA IZWI RAKAKODZERA

9. Tuchembere _____ hatubviri pakudzana padare, usaona tsinga kuti tare tare muhuro.
A. idzo B. iyo
C. ayo D. utwo

10. Mhou _____ haina mukaka.


A. iyo B. urwo
C. icho D. irwo

11. Miti _____ yakawanda


A. idzo B. idzi
C. iyo D. utwo

ZADZISA NEIZWI RAKANAKA

12. Zvese zvakati chechetere semvura


A. yeguvi B. yemunakamwe
C. yemumhango D. iri mudziva

13. Akanga achifamba achinanaira


A. senjiva B. semhene
C. semwenga D. semutumwa

14. Paakaona shumba dikita rakati


A. zeu zeu B. teu teu
C. ndo ndo D. tau tau.

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO

Chomuti aiva chikomana chakanga chanwa mukaka chikaguta, chino chivhindikiti chomukomana.
Hapana aigona kukanda tsvimbo kumudarika. Haaipotsa kana ada kutema chinhu. Nokudaro shamwari
dzake dzaimufarira kumafuro kune vaya vana Jongwemuzvitiyo.
Vana Jongwemuzvitiyo vaiti kana vamuona vaibva vaziva kuti zuva iroro vaizoita madzoro emombe.
Pakanga pasisina zvokuti vadiki endai. Chomuti aifarira kutamba zvakanaka navamwe asi hasha dzake
dzaive pahuma saka nguva zhinji aida zvake kufara. Mumakura mavaiswera vaidya maroro,
tsvoritsvoto, tsambatsi nenyii. Kumba sadza vaitodyira chirango chete. Iye ainyanyofarira tsvoritsvoto.

15. Ndiani akanga anwa mukaka akaguta.


A. mombe B. shamwari
C. makura D. Chomuti

16. Chii chinoratidza kuti Chomuti aiva shasha pakukanda tsvimbo?


A. kupotsa B. kutyiwa
C. kurova vamwe D. aisapotsa

17. Vana Jongwemuzvitiyo sokufunga kwako vaiitei?


A. kurova vana vadiki B. kudyira vana vadiki
C. kutuma vana vadiki D. kudzora mombe

18. Kuita madzoro kudini


A. kurovana vana B. kuchinjana kudya
C. kuchinjana kudzora mombe D. kuchinjana kurwa

19. Chii chanzi chaive pahuma yaChomuti?


A. nhema B. usimbe
C. kunyima D. hasha

20. Vana Chomuti vaiswera kupi?


A. kuchikoro B. kumakura
C. kumunda D. kutsoro

21. Chomuti aifarira muchero we


A. tsambatsi B. tsvoritsvoto
C. maroro D. nyii

SARUDZA IZWI RINOREVA ZVAKAFANANA NERAKATARWA

22. Aita rombo rakanaka


A. mhanza yakanaka B. muromo wakanaka
C. munyama D. mupfumi mukuru
23. Akabvarura hanzu dzake dzose pavaipopotedzana.
A. ngowani B. nguwo
C. bhachi D. shangu

ISA MUUZHINJI

24. Mudzimai
A. mukadzi B. vadzimai
C. anamai D. madzimai

25. Doro
A. matura B. matara
C. matoro D. doro

MADIMIKIRA AYA ANOREVEI

26. Kuruma nzeve


A. kutya B. kuraira
C. kuba D. kushata

27. Kufuga rako wega


A. kurara B. kutamba
C. kufa D. kuda

28. Kukanda tsoka


A. kudya B. kukara
C. kufara D. kufambisa

VERENGA NDIMA UGOPINDURA MIBVUNZO

Choto School
Box 83
Masvingo
19 Chivabvu 2021
MukomaTanatswa

Ndinokuzivisai kuti kumusha hakuna mufaro. Sekuru Ndangariro vakatisiya pakupera kwesvondo.
Vakachengetwa neSvondo zuva rorereka. Hapana anoziva chakakonzera rufu rwavo, asi musoro
namapipito zvaiva namavanga.
Basa rapera kushandwa mombe yakazofa. Mbuya VaZinatsa vatosvika nhasi uno vakawana mwana
wavo ava namazuva maviri ari pasi. Vatongozoita zvokunotaridzwa kumba kwacho kuti vachikanda
chibwe. Kana imi mouya kuzobata maoko, musakanganwe kutuma shoko kwaShoko.

Hapana chekuita sekuru vatungamira.


Wako
Shuvai.

29. Zita romushakabvu rainzi


A. sekuru B. Runesu
C. Tirivaviri D. Ndangariro

30. Gomba rinoiswa munhu akafa rinonzii?


A. guru B. durunhuru
C. bwiro D. murindi

31. Chii chakazouraiwa basa rapera kushandwa?


A. guru B. durunhuru
C. mombe D. murindi

32. Patakavachengeta zvinoreva kuti


A. kuviga B. kuvapa zvavaida
C. kuunganira D. kuvatambira

33. Kana uchisvika panenge paita rufu unoti


A. makorokoto B. munemhanza
C. tine urombo D. tishorei

34. “Kuti kuzobata maoko” zvinorevei?


A. kukwazisa B. kumbundana
C. kunyaradza afirwa D. kufara neafirwa

35. Ndiani akanyora tsamba iyi?


A. VaZinatsa B. Shuvai
C. Tirivaviri D. Sekuru Ndangariro
SARUDZA MAZWI ANOPESANA NEAKATARWA

36. Rindai akapata zvikuru.


A. akasuwa B. akatya
C. akangwara D. akafara

37. Mumba medu mune chiedza.


A. rambi B. chibani
C. moto D. rima

38. Handigoni kunyora noruboshwe.


A. noruoko B. norutivi
C. norudyi D. nezvigunwe

VANA VEMHUKA

39. Mwana wembongoro anonzi


A. chidhongi B. mbongorana
C. dhongwana D. bhiza

40. Sarudza chirevo chakanyorwa zvakanaka.


A. Ndinoda nyama mupunga nedovi B. Ndinoda nyama, mupunga nedovi,
C. Ndinoda Nyama, Mupunga. Nedovi D. Ndinoda nyama, mupunga nedovi.

You might also like