EVERSHINE JUNIOR
TERM 2
GRADE 3
CHISHONA
PAPER 1
SARUDZA MHINDURO IMWE CHETE YAKAKODZERA
VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO
Tendai anogara KuMhondoro. Mukomana uyu ane mbiri yokupfura mapadza.
Kunonzi basa iri akaridziziswa achiri mukomana mudiki chaizvo. Anonzi
akafunddiswa zvokupfura simbi izvi nababa vake kubvira ane makore gumi
chaiwo.
1. Tendai anogara kupi?
A. Chipinge B. Murehwa C. Mhondoro D.
Mhandura
2. Tendai ane mbiri yei?
A. Yekupfura shiri B. yokuridza ngoma C. yekutema miti D.
yokupfura simbi
3. Akadzidziswa nani kupfura simbi?
A. Nasekuru B. namukoma C. nababa D.
nemhondoro
4. Tendai akatanga kudzidzira basa rekupfura aine makore ----------------------.
A. Gumi B. masere C. makumi maviri D.
gumi nemana
5. Ndeipi mimwe midziyo yaaikwanisa kupfura?
A. Matemo B. hari C. mhuka D. shiri
UKAMA
6. Mukoma wababa vako ndi-------------------------------.
A. Babamunini B. babamukuru C. mukarahwa D.
sekuru
7. Hanzvadzi yamai vako ndi----------------------------------.
A. Ambuya B. babamunini C. mukuwasha D.
sekuru
8. Munin’ina waamai vako ndi--------------------------------------------.
A. Mainini B. tete C. maiguru D. vakoma
NYAUDZOSINGWI
9. Akasviba kuti -----------------------------------------------.
A. Rukutu B. puu C. ndoo D. mbuu
10.Mwana akasvikogara pasi kuti ---------------------------------------.
A. Gada B. tora C. simu D. dzii
11.Mudzidzisi akapinda vana vose vakanyarara kuti --------------------------------.
A. Nyaa B. bhagu C. dhii D. zii
VERENGA NYAYA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA
Taurai aive mukomana abve zera. Akaroora Chido, mwanasikana waVaGudo.
Vakaita muchato wainakidza zvikuru. Ambuya vaTaurai vakabvisa chipo
cherusero. VaGudo vakabvisa tsiru remombe.
12.Taurai akaroora -------------------------------.
A. VaGudo B. ambuya C. Chido D. Chipo
13.Ambuya vakabvisa chii?
A. Mombe B. rusero C. poto D. jira
14.Chido mwanasikana waani?
A. Ambuya B. Taurai C. VaTsiru D. VaGudo
15.VaGudo vakabvisa chipo chei?
A. Rusero B. mbudzi C. tsiru D. mari
16.Tsiru imombe --------------------------------
A. Hadzi isati yabereka B. hadzi yakambobereka C. hono inorima
D. hono inobereka
MADIMIKIRA
17.Ane chioko chegudo zvinoreva --------------------------------------.
A. Anoba B. anochiva C. anodada D. anorova
vamwe
18.Anotsenga mvura zvinoreva ----------------------------------------------.
A. Anorova vamwe B. anodada C. haagezi D.
anotambisa mvura
ZADZISA TSUMO IDZI
19.Aive madziva ave --------------------------------------------------------
A. Mapani B. jiri C. mazambuko D. madirano
20.Rambakuudzwa akazoonekwa nembonje ----------------------------------------.
A. Pahuma B. pagumbo C. panzeve D.
paziso
21.-------------------- chimwe hachitswanyi inda.
A. Tsvimbo B. moto C. chara D. chitsitsinho
MAZITA
22.Hari inobikirwa usavi inonzi ----------------------------------------.
A. Tsaiya B. chirongo C. hadyana D. dengu
23.Munhu anoba anonzi -------------------------------------------------------.
A. Mufundisi B. mbavha C. shirikadzi D.
gotwe
24.Mukadzi wekutanga pabarika anonzi --------------------------.
A. Vahosi B. dangwe C. nevanji D.
nyachide
IPA MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA NERAKATARWA
25.Vana vechidiki havafanire kunwa hwahwa.
A. Doro B. madomasi C. manhanga D.
madima
26.Gudo rine mahobi.
A. Bere B. garwe C. bveni D. dhongi
27.Tsaona yakaitika nekuti mutyairi akakotsira motokari ichifamba.
A. Muka B. famba C. gara D. rara
IPA MAZWI ANOPESANA NEAKAPIHWA
28.Dzoka ----------------------
A. Mhanya B. enda C. mira D.
simuka
29.Jaya --------------------------
A. Tsikombi B. murume C. mhandara D.
mukadzi
IPA VANA VEMHUKA
30.Mwana weshumba anonzi ------------------------------------------------.
A. Kashumba B. mhuru C. chigwi D.
handa
31.Mwana wemombe anonzi -------------------------------------------------------.
A. Mhuru B. kamombe C. tsiru D.
tsvana
ISA MAZWI MUUZHINJI
32.Chikoro --------------------------------------
A. Zvitoro B. chikoro C. zvikoro D.
tukoro
33.Zai -------------------------------------------------.
A. Zanda B. mazai C. tumazai D. mazizai
SARUDZA IZWI RAKAPERETERWA ZVAKANAKA
34.A. tsamba B. stamba C. tasmba D. tsabma
35.A. nzenga B. nzvenga C. zinvega D. nvzenga
SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA
36.A. KwaMutare nababa ndinogara
B. KwaMutare baba ndinogara
C. Ndinogara KwaMutarenababa.
D. Ndinogara nababa KwaMutare.
IPA DUDZIRO YECHIRAHWE
37.Rakazvirova rikazhamba ---------------------------------------.
A. Jongwe B. rize C. zongororo D. gudo
ZADZISA NEMAZWI AKAKODZERA
38.Kana tichisvika pafiwa tinobata maoko tichitii?
A. Gogogoi B. makorokoto C. nematambudziko D.
tipindewo
39.VaMabhutsu vakasvika paivhiyiwa nyama vakati -----------------------.
A. Ndakubatai B. muri kuitei C. chishava pavarume
D. ndipeiwo
SARUDZA IZWI RINONONGEDZA ZVAKAKODZERA
40.Ndipe banga rangu ----------------------- ndicheke nyama.
A. Ako B. iro C. idzo D. avo
EVERSHINE JUNIOR
TERM 2
GRADE 3
CHISHONA
PAPER 2
CHIKAMU CHEKUTANGA
Sarudza musoro umwe chete ugonyora rondedzero ine mitsara 8-12 kana ndima
mbiri kana nhatu (20 marks)
1. Mudzidzisi wangu
2. Musha wedu
3. Mhuka yandinofarira
4. Shamwari yangu
5. Mukuru wechikoro chedu
CHIKAMU CHECHIPIRI
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo yose zvakazara
nechirevo chakanaka
Hapano pakunorara munhanga, Rudo akati atanga kurota pamwe nekuvhumuka.
Akarota aina Tendai vakagara pachuru vachidya matohwe. Vaitaura nezve
mutambo wenhabvu. Vaiitisana nharo asi vachizowirirana. Pazvakaiitika izvi
Tapiwa mukoma wake ainge akarara pedyo naye akange anzwa nekupfizurwa
mbabvu naRudo.
NZWISISO (10 marks)
PINDURA NECHIREVO CHAKAZARA
1. Ndiani akarota pamwe nekuvhumuka?
2. Rudo akarota ainani?
3. Tendai naRudo vaidyei?
4. Vana vaitaura nezvemutambo upi?
5. Vaive vakagara pai?
6. Kana munhu achirota anenge akaita sei?
7. Mukoma waRudo anonzi ani?
8. Vana vataurwa mundima iyi vangani?
9. Imba inorara vasikana inonzi chii?
10.Isa izwi mutambo muuzhinji.