You are on page 1of 2

St Dominics Chishawasha Secondaryschool

Private bag 7391


Greendale
Harare
29 Chikunguru 2020
Wadiwa Kimberly
Ndinonzwa kusuruvara kukuru ndichikunyorera tsamba ino. Sezvo iwe uri
shamwari yangu yepamoyo ndati ndikuyambire nezve denda reCovid-19.

Covid-19 ihosha inenge dzihwa kana chikosoro .Denda iri rakatanga kuChina
rikatenderera nenyika rikazosvikawo muno muZimbabwe .Chirwere ici chaendesa
vanhu vanopfuura zviuru zvikumi kwamupfika nebwe pasi rese. Muno
muZimbabwe vanhu vanopfuura chiuru vakabatwa nehosha iyi.

Covid-19 haisati yavakurapika asi pane zvatinokwanisa kuita kuti tiidzivirire.


Tinokwanisa kudzivirira hosha iyi nekugeza maoko, kugeza michero nemiriwo,
kusabatana nevanhu nekusaenda paruzhinji.

Hurumende yakati vanhu vagare mumba , saka isu tinofanira kuzviteedzera .Asi
kana uine lwaunenge uchifanira kuenda unoendawakavhara muro nemhino.Kana
tichikosora ,tinofanira kukosorera mukati megokora.Ukanzwa kunge wabatwa
nehosha iyi kana nechikosoro zvinokurudzirwa kuti uende kunotariswa
kuchipatara.

Sahwira vakuru vakati ‘Akuruma nzeve ndewako’ ,ndinovimba uchatevedzerawo


yambiro dzandakupa.
Ndini shamwari yako
Martina

You might also like