You are on page 1of 1

BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE

Rev 17: 1 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni,
achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji;  5
Pahuma yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE
NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.

Pachidzidzo chino tinofana kuziva kuti chii chirikunzi Babhironi mai vemhombwe nechikonzero chekuti
pachikamu chemunaZvakazarurwa 18 vanhu vaMwari vanokurudzirwa kuti vabude muBabhironi iri.
Haugoni kubuda muBabhironi kana usingazivi kuti chii chinonzi Babhironi racho.Mwari achitibatsira
tinoda kuti tirizive.

Mumaverse arimuna Zvakazarirwa 17 tine zvimiso zvinotibatsira kuti tirizive zvatichashandisa.

Rev 17: 1 Zvino mumwe wavatumwa vanomwe, vakanga vanendiro nomwe, akavuya akataura neni,
achiti: Vuya pano ndichakuratidza kutongwa kwemhombwe huru, inogara pamsoro pemvura zhinji; 2
madzimambo enyika akaita vupomwe nayo, navanogara panyika vakabatwa newaini yovupobwe
bwayo. 3 Ipapo wakandiisa kurenje mumweya, ndikavona mukadzi akatasva chikara chitsvuku, chizere
namazita okumhura Mwari, chinemisoro minomwe nenyanga gumi.  4 Mukadzi wakanga akapfeka
nguvo tsvuku neshava, akashonga ndarama namabwe anokosha, namaparera, nomuruvoko rwake
makanga munomudziyo wendarama uzere nezvinonyangadza netsvina yovupombwe bwake. 5 Pahuma
yake pakanga pakanyorwa zita rakavanzika iri: BABHIRONI, GUTA GURU, MAI VEMHOMBWE
NAVEZVINONYANGADZA ZVENYIKA.  6 Ipapo ndakavona mukadzi akabatwa neropa ravatsvene, vuye
neropa rezvapupu zvaJesu; ndikati ndichimuvona ndikashamiswa nokushamiswa kukuru. 7 Ipapo
mutumwa akati kwandiri: Washamiswa neiko? Ndichakuvudza zvakavanzika zvomukadzi, nezvechikara
chinomutakura chinemisoro minomwe nenyanga dzinegumi. 8 Chikara chawavona, chaiva po,
hachichipo; chodokukwira chichibva mugomba rakadzikadzika kundoparadzwa; vanogara panyika
vasina kunyorwa mazita avo mubhuku yovupenyu kubva pakusikwa kwenyika, vachashamiswa kana
vachivona chikara, kuti chaivapo, hachichipo, vuye chichazovapo. 9 Ndipo panokufunga kunenjere.
Misoro minomwe ndiwo makomo manomwe, anogarwa nomukadzi. 10 Ndiwo madzimambo manomwe;
vashanu vawa, mumwe uripo, mumwe ugere kusvika; kana achisvika, unofanira kugara chinguva
chiduku. 11 Chikara chaivapo, chisisipo, ndiye worusere, mumwe wavanomwe, unondoparadzwa. 12
Nyanga dzinegumi dzawavona, ndiwo madzimambo anegumi, achigere kupiwa vushe asi uchapiwa
simba samadzimambo pamwe chete nechikara nguva imwe.  13 Ivo vane ndangariro imwe, vanopa
chikara simba ravo nevushe bwavo.14 Ava vacharwa negwaiana, gwaiana richavakunda; nokuti iro ndiro
Ishe wamadziShe, namambo wamadzimambo; naivo vanaro ndivanhu vakadanwa vatsvene
vakatendeka. 15 Zvino akati kwandiri: mvura yawavona inogarwa nemhobwe,ndivo vanhu, navazhinji
namarudzi, nendimi. 16 Nyanga dzinegumi dzawavona nechikara ndivo vachavenga mhobwe,
vachaiparadza nokuitorera nguvo; vachadya nyama yayo, nokuipisa nomoto.  17 Nokuti Mwari wakaisa
mumoyo yavo kuti vaite kurangarira kwake, vave nokurangarira kumwe, vape chikara vushe bwavo,
kusvikira mashoko aMwari aitika. 18 Mukadzi wawavona ndiro guta guru, rinobata vushe
bwamadzimambo enyika.

You might also like