You are on page 1of 4

Budai muBabylon.

Nyaya yedu tinoiwana kuna Zvakazarurwa

Rev 18:1 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika
ikavhenekerwa nokubwinya kwake.2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru,
yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina
dzinovengwa. 3 Nokuti marudzi ose akanwa waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro, namadzimambo
enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro. 4 Zvino
ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana
naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.

Pano Mwari arikutuma mutumwa wake achidaidzira kuti vanhu vabude muBhabhironi, chikonzero akuda
kuripa mutongo waro uye zvirikunzi razara nemweya yetsvina.

Sezvo isiri Babylon nyika asi spiritual Babylon tikadzokera pakuparara kwenyika yeBabylon tinogona
kudzidza zvakawanda.

Dan 5:  1 Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa
waini pamberi paivo vane chiuru chezana.2 Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye
nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva
muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo.  3 Ipapo
vakauya nemidziyo yendarama yakanga yabviswa patemberi yeimba yaMwari yaiva muJerusaremu; iye
mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vakanwa nayo. 4 Vakanwa waini, vakarumbidza
vamwari vendarama nesirivha nendarira nedare namatanda namabwe. 5 Zvino nenguva iyeyo minwe
yoruoko rwomunhu yakauya ikanyora pakatarisana nechigadziko chomwenje pasuko remadziro eimba
yamambo, mambo akaona chanza choruoko rwakanga ruchinyora. 6 Ipapo chiso chamambo
chakashanduka maari, pfungwa dzake dzikatambudzwa, zvipfundo zvechiuno chake zvikasununguka,
mabvi ake akarovana.

Pano tinoona kuti usiku hwakaitwa mutambo namambo Bheshazari ndiwo musi wakaparara guta
reBhabhironi. Munyaya iyi tinoona kuti mataurwa nezvemumwe mambo anonzi Nebhukadhinezari,
aivawo nehuyipi hwaaiita asi hazvina kukonzera kuti Bhabhironi iparare. Pane zvakazoitwa naBheshazari
zvakatsamwisa Mwari izvo zvakaita kuti usiku uhu bhabhironi riparadzwe.

Saka chii chakakonzera kuti Bhabhironi riparadzwe?

Dan 5:18 "Imi mambo, Mwari Wokumusoro-soro akapa baba venyu Nebhukadhinezari ushe noukuru,
nembiri noumambo;19 zvino nokuda kwoukuru, hwaakamupa, vanhu vose namarudzi ose namarimi ose
vakadedera nokutya pamberi pake; aiuraya waaida kuuraya, airaramisa waaida kuraramisa, aikwiridza
waaida kukwiridza, nokuderedza waaida kuderedza.20 Asi mwoyo wake wakati uchizvikudza, nomweya
wake uchizviomesa, kusvikira achiita manyawi, akabviswa pachigaro chake choushe, vakamutorera
kubwinya kwake;  21 akadzingwa pakati pavanakomana vavanhu, mwoyo wake ukaitwa sowemhuka,
akandogara nembizi, akadyiswa uswa senzombe, muviri wake ukanyoroveswa nedova rokudenga,
kusvikira aziva kuti Mwari Wokumusoro-soro anobata ushe pakati pavanhu, achiupa waanoda.  22 Asi
imi Bheshazari mwanakomana wake, hamuna kuzvininipisa nomwoyo wenyu, kunyange makanga
muchizviziva zvose, 23 asi makazvikudza pamberi paIshe wokudenga; midziyo yeimba yake yakauyiswa
pamberi penyu, imi namadzishe enyu navakadzi venyu navarongo venyu mukanwa waini nayo;
mukarumbidza vamwari vesirivha nendarama nedare namatanda namabwe, vasingaoni kana kunzwa
kana kuziva; asi iye Mwari, akabata mweya wenyu muruoko rwake, anoziva nzira dzenyu dzose, hamuna
kumukudza iye. 24 Naizvozvo chanza choruoko chakatumwa chichibva kwaari, zvakanyorwa izvi
zvikanyorwa.30 Nousiku uhwo mambo Bheshazari muKaradhea akaurawa.

Panyaya iyi panobuda zvinhu zvakaita kuti mambo auraiwe uye Bhabhironi riparadzwe.
 Mambo aiziva zvakamboitirwa baba vake asi haana kuita hanya nazvo
 Mambo akazvikudza ndokusvika pakutora mudziyo yeimba yaMwari akaisa zvinodhakano.
 Mambo paakanwa waini mumidziyo yaMwari akarumbidza vamwari vematanda nendarama
(false gods)
 Pfungwa huru mundima ndeyekuti mambo akatora zvitsvene zvaMwari ndokuzvizanganisa
nezvisineyi naMwari. Arikuti zvinebasa rei?
Zvatinodzidza pano ndezvekuti Mwari haadi kuti zvitsvene zvake zvaakataura maitirwo azvo munhu
azvichinje achishandisa kufunga kwake.

Regai timboona mimwe miyenzaniso.

Lev 10:  1 Zvino Nadhabi naAbhihu, vanakomana vaAroni, vakatora mumwe nomumwe harana yake
yezvinonhuwira, vakaisamo moto, ndokuisa zvinonhuwira pamusoro pawo, vakauya pamberi paJehovha
nomoto usina kutenderwa waasina kuraira.2 Ipapo moto wakabuda pamberi paJehovha, ukavauraya,
vakafa pamberi paJehovha.

Pese munhu paanozvidza Mwari achishandisa kufunga kwake anosangana nemutongo waMwari.

Dan 5: 1 Zvino mambo Bheshazari akaitira madzishe ake ane chiuru chezana mutambo mukuru, akanwa
waini pamberi paivo vane chiuru chezana. 2 Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti
vauye nemidziyo yendarama neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi
yaiva muJerusaremu, kuti iye mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo.

Chimwe chatinoona apa ndechekuti Mwambo akatora mudziyo yaMwari apo ainge atobatwa
newine.Zvakakosha kuti vanhu vasati vabatwa newine vateerere yambiro yaMwari. Akaraira kuti
zvitsvene zvaMwari zvisakosheswa apo paainge abatwa newaine (adhakwa). Mambo wespiritual
Babylon akaita zvimwechetezvo uye achatonyanya kuraira kuti zvitsvene zvaMwari zvisakosheswa apo
nyika yese inenge yabatwa neWaini yeupombwe hwayo. Zvakakosha kubuda usati wabatwa newaine iyi.

Jer 51: 7 Bhabhironi wakanga uri mukombe muruoko rwaJehovha, wakabatisa nyika yose; marudzi
avanhu akanwa waini yawo, saka marudzi akapenga. 8 Bhabhironi rakawira pasi pakarepo rikaparadzwa;
wungudzai pamusoro paro, torai muti webharisami kurapa kurwadziwa kwaro, zvimwe ringapora. 9
Taida kuporesa Bhabhironi, asi harina kupora; risiyei, mumwe nomumwe wedu aende kunyika yake,
nokuti mhosva yaro yasvikira kudenga, yasimudzirwa kumakore.
Risati raparadzwa Mwari aida kutoti Bhabhironi ipore, (izive Mwari) asi zvanzi rakaramba. Saka zvadaro
Mwari arikuti kuvanhu mumwe nemumwe ngaachibuda ayende kumba kwake tisati tariparadza.

Kozvinechokuita nesuwo here mumazuva ano?

  Rev 14:8 ipapo mumwe mutumwa wakatevera, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guta guru, rakanwisa
marudzi ose waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro.

Pano Mwari mumazuva ano ekupedzisira arikutuma vanhu vake kuti vaudze vanhu vari muBhabhironi
kuti Bhabhironi rawa nekuti ramwisa vanhu waini yekutsamwa kwovupombwe bwaro. Saka kana razvika
pakuwa zvii zvinofana kuitwa nevanhu vaMwari?

Rev 18: 1 Shure kwaizvozvi ndakavona mumwe mutumwa achiburuka kudenga, anesimba guru; nyika
ikavhenekerwa nokubwinya kwake.2 Akadanidzira nenzwi guru, achiti: Rawa, Rawa, Bhabhironi, guru,
yava nzvimbo inogara mweya yakaipa, nenhare yemweya yose yetsvina, nhare yeshiri dzose dzinetsvina
dzinovengwa. 3 Nokuti marudzi ose akanwa waini yokutsamwa kwovupombwe bwaro, namadzimambo
enyika akaita vupombwe naro, navatengesi venyika vakafuma nokuwanda kwefuma yaro.  4 Zvino
ndakanzwa rimwe inzwi rinobva kudenga, richiti: Budai mariri, vanhu vangu, kuti murege kuwadzana
naro pazvivi zvaro, mugorega kupiwa madambudziko aro.  5 Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga,
Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.

Mwari avakuti daidzirai vanhu vabude mukati meBhabhironi, zvakona hariponeseki.

Mumazuva ano ekupedzisira Mwari arikuda kuti vanhu vabve muBhabhironi. Mwari arikuti budai
mukunamata kunoitwa zvekuzanganiswa zvokwadi yaMwari nedzidziso dzenhema.

Muedzaniso weWaini yeBhabhironi.

Rom 6: 3 Ko hamuzivi here kuti isu takabhabhatidzwa muna Kristu Jesu, takabhabhatidzwa murufu
rwake? 4 Naizvozvo pakubhabhatidzwa takavigwa pamwe chete naye murufu; kuti saiye Kristu
akamutswa kuvakafa nokubwinya kwaBaba, saizvozvo nesu vo tifambe novupenyu bwutsva.5 Nokuti
kana takava vamwe naye pakufanana naye, parufu rwake, tichadaro vo pakumuka kwake;  6 tichiziva
izvi, kuti munhu wedu wekare wakaroverwa pamuchinjikwa pamwe chete naye, kuti muviri wezvivi
ushaiswe simba, tirege kuzova varanda vezvivi;

Semuenzaniso pano apa Mwari anotiudza kuti kuBhabhatinzwa kunodiwa asi satani akuuya
nekuvhiringidza vanhu zvekuti vanhu vakushaya kuti voBhabhatidzwa kangani uye sei. Zvakare
kunotiyeuchidza kufa nekumuka KwaJesu asi ikozvino kwavanemitambo yakaita seEaster yakuita
seyakurangaridza vanhu rufu rwaJesu.

Saka Mwari arikuti budai muchimiro chekuti mukunamata makuzanganiswa zvokwadi nenhema. Budai
musati madhakwa nekuti kana ukamirira kudhakwa hauzokwanisi kutsaura zvitsvene nezvisiri zvitsvene.
  Dan 5:2 Zvino Bheshazari, akati abatwa newaini, akarayira kuti vauye nemidziyo yendarama
neyesirivha, yakanga yabviswa nababa vake Nebhukadhinezari patemberi yaiva muJerusaremu, kuti iye
mambo namadzishe ake navakadzi vake navarongo vake vanwe nayo.

  Rev 18:5 Nokuti zvivi zvaro zvasvika kudenga, Mwari warangarira zvisakarurama zvaro.

Zvivi zvaro zvasvika kuna Mwari hapachina nguva ngatibudei kuti tirenge kuwadzana naro. Munhu
unogona kufira kuwadzana neBhabhironi.

Saka Waini yeBhabhironi chii?

You might also like