You are on page 1of 5

GRADE 5

END OF TERM 1
SHONA
PAPER 1

VERENGA NDIMA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO


INOTEVERA
Mushure medzimwe vhiki mbiri vachinamatirwa namuporofita Bhezero ,
VaMukanya vakaona gumbo rotobuda hurwa netukonye. Vakabva vaziva
kuti hurwere hwagodza zvino. Ndivo vakazokumbira munin`ina wavo
kuti avamhanyise kuchipatara chepaZvimba. Motokari yacho yaiita
zvekubhururuka chaizvo . VaTembo mudzidzisi wepaMwenje akanga
atenga motokari nemari yekurima chibage makei. Chiremba akasvikoti ,
’inga gumbo renyu musharukwa ratoipa zvakanyanya, manga muripi
navo nguva yese iyi?’ VaMadube mudzimai wavo aingosvimha misodzi
chete. Vakazodamburwa gumbo nepabvi ndokupiwa madondoro.

1 . Munhu anorwara akanamatirwa nani?


A VaMukanya B Muporofita Bhezero C VaMaDube D VaTembo
2 . Ndiani airwara negumbo?
A Muporofita Bhezero B VaMukanya C Vatembo D VaMaDube
3. Vakazonorapwa kuchipatara chekupi?
A Zvimba B Chepachikoro C Chiremba D Mwenje
4. Mwenje chaiva chii?
A Mudzidzisi B Chipatara C Chikoro D Motokari
5. Chii chaibuda pagumbo raVaMukanya?
A honye B hurwa netukonye hurwa C hurwa D honye ne
hurwa
6. Mota yaibhururuka zvinoreva kuti chii?
A yaibhururuka mumhepo B yaimhanyisa C yainanaira
D yaifamba
7. Tipe izwi rinoreva urwere hwaiva hwakura
A hwagodza B madondoro C kubhururuka D kusvimha
misodzi
8. Madondoro aiva ei?
A ekudambura gumbo B ekutyairisa mota C ekufambisa
D ekurara nawo
MADIMIKIRA
9. kunzwa parere moyo
A kurara B kugutsikana C kunzwa D kufara

IPA DIMIKIRA RINOENDERANA NETSANANGUDZO


YAKAPIWA
10. Fungai akaita zvisingazombokanganwika
A kuita zvinogara zvakadaro B kuita masiya ndaita C
kunyangira yaona D kurara nezamu mukanwa

TSUMO
11. Chinokanganwa idemo , chitsiga ..........................
A chinopisa B hachikanganwi C chinotyora D
hachitemeke

IPA TSUMO INOREVA ZVIMWECHETE NEYAKAPIWA


12. chida moyo hamba yakada makwati
A rume rimwe harikombe churu B Moyo muti unomera
paunoda
C chinobhururuka chinomhara D shiri yemusaririra ndiyo
yemhina

UZHINJI
13. rukukwe . Vasikana vagere parukukwe vachiruka
A marukukwe B hukwe C rukukwe D zvirirukukwe

USHOMA
14. Mvura yakanaya yakawandisa gore rakapera
A tumvura B mimvura C mvura D zvimvura

VERENGA NDIMA IYI UGOPINDURA MIBVUNZO


INOTEVERA
Vakakomborerwa vanogara zino riri pachena , vanosevenza
vachifara . Vakuru vakati, “chara
Chimwe hachitswanye inda, “ vamwe vakati, “ Rume rimwe
harikombe churu. “ Basa
magamidzanwa , ringava remumba , mumunda kana ripi zvaro.
Mushonga webudiriro kubatana
kunzwanana , kuwirirana , mushandirapamwe
nemuonerapamwe . Mukangodaro basa
zvinoreruka. Nhabvu chaiyo mushandirapamwe mumwe anokava
, mumwe omwisa chikwata
chatokunda. Kutonga nyaya chaiko kunoda vapupuri ,
muchuchisi nemutongi wacho
Kukerekewo vanoshaura vamwe vobvumira , vanokusha shoko
nevanonamatirawo . Pose pose
mushandirapamwe zvinhu zvofamba.

15. Ndevapi vanhu vanzi vakakomborerwa mundima ?


A vane maziso B vanobudirira C vanosekerera D
vanonzwanana
16. Kana munhu achigara zino riri pachena anoita sei? A
anofara B anotsamwa C anochema D anoimba
17. Tsumo inokurudzira kubatsirana pakushanda ndeipi pane idzi?
A mbeva zhinji hadzina mashe B mbudzi kudya mufenje
hufananyina
C chara chimwe hachitswanyi inda D murombo haarovi
chine nguo
18. Zvinoratidza kuti basa - ngaribatsiranwe A rose B
ose C tose D vose
19. Mushandirapamwe unoita kuti vanhu A vanyeyane B
vabirane C vatukane D vabudirire
20. Chanzi chinorerutsa basa chii? A mushandirapamwe B
mazvake –zvake C chara D rume
21. Tipe mutambo wadomwa mundima unoitwa mushandirapamwe
.
A nhabvu B kutonga nyaya C kereke D chikwata
22. Mabasa mangani ataurwa munyaya...................... A
matatu B mana C mashanu D hapana

NYAUDZOSINGWI
23. Pamabiko vanhu vakatamba zvokuti huruva yakati .................
A vhu-u B tsvete C bvu – u D ngwe-e
24. Paavhura musiwo awana zvinhu zvakati................. mumba.
A vhu-u B bvu-u C pu –u D nyota

ZVIRAHWE
25. Kakomana kanoriga ishe padare. A nzara B
kurwara C hope D nyota

ZAMBIRINGAMUNYEMBA
26. A motokari B bhazi C chikepe D ngoro

MAZWI ANOPIKISANA
27. tsaru A hombe B itsva C duku D dzaru

MAZWI ANOREVA ZVAKAFANANA


28. vakazarura A vakavhura B vakavhura C vazarura
D vaenda

ZADZISA NEZWI RAKAKODZERA


29. Munda wamambo unonzi ................... A zunde B gura C
gombo D tseu
30. Kana tichichingamidza munhu tinoti ............... A mhoroi
B nedzoi C tisvikewo D titambire

SARUDZA CHIREVO CHAKANYORWA ZVAKANAKA


31. A ‘’Farai akati “, ‘’ Tora badza iro.’’ B
farai akati ,’’ tora badza iro”
C Farai akati ,”Tora badza iro’ D
Farai akati! ‘’ tora badza iro”
32. A munin’ina B mun’in’ina C mun’in’in’a D
mun’inina

VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO


” Ropafadzo iwe!” ”Mha!” Ndimai Ropafadzo vaidaidza mwanasikana
wavo. ’’uya uise
usavi pamoto. ‘’ ‘’Amai, ndichambotamba nhodo navamwe ,
handidi ini.” “Unopenga ,
unoda zvokugarira maoko nhai? Unoti nhodo dzinodyiwa here?”
Ropa akati simu kubva padariro ravaitambira nhodo oenda kumba.
Akatora hadyana
ogadza usavi pamoto, amai vachindotsvaga twutsotso.

33. Ropafadzo aiva mwanai A musikana B mukomana


C benzi D mutate
34. Mai Ropafadzo vaida kuti aitei? A abike sadza B
aise usavi C avese moto D atsvage huni
35. Usavi hunobikirwa pai ................................ A tsaiya
B hadyana C pfuko D rongo
36. Nyaudzosingwi iri mundima inoreva kusimuka ndi ...................
A Dzii B tende C nyamwi D simu
37. Amai Ropafadzo vaida kuendepi ? A kuhuni B
kumunda C kutsime D kumombe
38. Mutambo waitambwa naRopafadzo waiva we .............. A
mahumbwe B nhodo C pada D kubika
39. Kugarira maoko kuita sei ..........................................
A kutamba nhodo B kuramba kutumwa C kusada
kushanda D kubika usavi
40. Tutsotso chii A mazitanda ehuni B ihuni hobvu
C tuhuni tudiki D ihuni hombe

You might also like