You are on page 1of 4

GRADE 3 END OF YEAR EXAMS

CHISHONA PAPER 1
Time 1 hour 30 minutes

Verenga ndima ugopindura mibvunzo inotevera


Munhu anoziva zvinhu anofanira, kuziva mativi mana enyika aya anoti Maodzanyemba,
Chamhembe, Mabvazuva uye Mavirira. Ruzivo urwu rwunobatsira kana uchiraira kana kuti
uchirairwa nzira zvinobatsirawo kana uchitsvaga nzira yekwaunoennda yausingazivi.

1. Nyika ine mativi mangani?


A maviri B matatu C mana D. rimwe
2. Zuva rinovirira divi ripi?
A chamhembe B mavirira C mabvazuva D. Maodzanyemba
3. Zuva rinobuda neku
A mavirira B madokero C mabvazuva
4. Ruzivo rwemativi aya enyika runobatsira chii?
A kuraira kana kurairwa nzira B kubata mbavha C kutengesa
Dudzira madimikira aya
5. Ane ruoko
A anoroya B anoba C. anoshanda D anokara
6. Ane chioko chegudo
A anorova vamwe Banokara C anoba D akaremara
7. Kuteya nzeve

A kuteerera B kujairirana C tsika D. kukuvara


Isa mazwi muuzhinji
8. Chironda
A. twuronda B karonda C. zvironda D. mazironda
9. Nzara
A. manzara B tunzara C. nzara D. zinzara

Zadzisa tsumo dzinotevera


10. Mwana washe………………………..
A. wachembera B muranda kumwe C. muranda washe D. anotuka vamwe

Compiled by Gumbanjera N.S


11. Muzivisi wenzira yeparuware …………………..
A. anodarika nayo B ndiye mufambi wayo C. ndeyake D. ndiye akaigadzira
akaigadzira
Ukama

Zadzisa nezwi rinoreva ukama hwakatsanangurwa


12. Hanzvadzi yababa vako unomuti ani?
A. amaiguru B ambuya C. tete D. amainini

Verenga nyaya iyi ugopindura mibvunzo inotevera.

Shingai ane tsika dzinozadza mukombe. Mwana anopa rukudzo kuvabereki uye nevamwe
vanhu vose.Haana hutsinye ane mutsa.Akatumwa anoenda achimhanya.Anoita mabasa
akasiyana siyana pamba.Anofumobika kudya kwamangwanani.Anochinja mbatya
dzekuchikoro. Anotora masokisi ake omageza.Achipedza izvi anobva atsikitsira pamabhuku
ake.Anoitawo nguva yekutamba neshamwari dzake vana Tashinga naTeurai.Muraini
raanogara kwaChiutsi anodiwa nevanhu vakawanda .Vakuru unongonzwa vachiti mwana
wekwaMapfuma uyu rudadiso.Vabereki vake vanomukurudzira kuti arambe aine tsika
dzakanaka. Chokwadi kuva netsika dzakanaka rudadiso kuvabereki.

13. Ndiani ane tsika dzakanaka?


A. Chiutsi B Mapfuma C. Tashinga D. Shingai
14. Shingai anogara muraini rekwaani?
A. Teurai B Mapfuma C. Chiutsi D. Tashinga
15. Zita rababa VaShingai rinonzi ani
A. VaTeurai B VaChiutsi C. VaMapfuma D. VaShingai
16.Nderipi izwi rinopesana namutsa?
A. musikanzwa B rukudzo C. tsika D. rudadiso
17.Chii Chinobikwa naShingai?
A. zvokudya zvemhuri yavo B zvekudya zvake zvekuchikoro C. zvekudya zvemasikati
D. zvekudya zvemangwanani
18. Shamwari dzaShingai dzinonzi vana ani?
A. Mapfuma na Teurai B Shingai naTashinga C. Teurai naTashinga
D. Teurai naChiutsi
19. Shingai aiita sei kana apedza kudya?
A. aiverenga B aiwacha masokisi C. aigeza kumeso D. ainotamba neshamwari
dzake
20. Chii chinonzi rudadiso kuvabereki
A. kugona kuchikoro B kuva netsika dzakanaka C. kuva netsika
dzakanaka D. kutamba nevamwe zvakanaka

Compiled by Gumbanjera N.S


VERENGA NDIMA INOTEVERA UPINDURE MIBVUNZO

Pedyo nemisha yaana Farai pane murume ane purazi rake. Murume uyu akapfuma zvikuru. Zita
rake chairo ndiMarufu Mbocho asi vanhu vanomudaidza kuti Mujubheki. Akapiwa zita rokunemera
iri nokuti akashanda kuJubheki achiri mukomana. Kana iye anofarira zita rake rokunemera iri.
Purazi raMujubheki hapana chisipo. Mukurima fodya arimo, mukurima chibage nenzungu arimo.
Mukupfuya mombe nenguruve arimo. Zvakare zvose izvi zvinomupa mari yakawanda.

21. Murume ane purazi anogara pedyo nemisha yanaani?


A] Mujubheki B] Marufu C] Farai D] Mbocho
22. Marufu Mbocho i……………
A] hombarume B] hurudza C] hodobori D]
hamburamakaka
23. Rimwe zita raMarufu ndi…………….
A] murimi B] Mujubheki C] Farai D] Purazi
24. Murume uyu akamboshanda ……………..
A] Malawi B] Mozambique C] Jubheki D] Hwange
25. Papurazi pake pairomwa fodya, chibage nechimwe chii zvakare.
A] nzungu B] nzimbe C] gorosi D] mhiripiri
26. Ndezvipi zvipfuyo zvaichengetwa papurazi
A] madhongi nekiti B] mbudzi nembwa C] mombe
nenguruve
D] makwai netsuro
27. Nderipi rimwe izwi rinoreva murimi mukuru?
A] N’anga B] hurudza C] homwe D] hombarume
28. Zvinhu zvose zvaimuwanisa mari chii?
A] munyama B] basa C] mari D] denga

MUTAURO WEDU
29. Munhu anogona kurima anonzi……………
A] bedzi B] murimisi C] hurudza D] mufundisi
30. Mwana asina vabereki vose anonzi……………….
A] nherera B] dangwe C] gotwe D] rufu
VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA

Ndege yaona Tendero yakadhuruma yakananga kumadokero. Vamwe vafambi vakange


vatokotsiriswa nekuzungunuka kwendege iri mumakore. Nenguva isipi vanaTendero vakange
voona dzimba dzeguta reBulawayo. Ipapo ndege yakange yotanga kudzika pasi. Yakamhara
pasi ikambomhanya sezvayakaita ichikwira mudenga ndokubva yamira. Mhuri yekwa Meda
yakasunungura mabhande ndokuburuka mundege. Vakambotenderera vachiona mamiriro akaita
nhandare yendege yeBulawayo.
Pashure vakazokwira bhazi voenda kuhotera kwavo. Tendero naVimbai vakange vachikurukura

Compiled by Gumbanjera N.S


vari mubhazi.

31. Ndege yaiva yani yaive mumakore?


A] yaana Tamuka B] yaana Tendai C] Yaana Tendero
D] yaana Takudzwa
32. Kuzungunuka kwendege kwaikonzera vamwe kuti…………
A] vafe B] vakotsire C] varware D] vamire
33. Ndege inofamba mu…………..
A] mvura B] munjanji C] mudenga D] mugungwa
34. Mhuri yekwaMeda yaienda kuguta ripi?
A] Bulawayo B] Harare C] Kwekwe D] Kariba
35. Kana vanhu vari mundege vanosunga
A] makavi B] mabbhande C] mbereko D] tambo
36. Ndege inomhara mu…………….
A] Sango B] nhandare C] muchikoro D] danga
37. Mhuri yekwaMeda yakaenda ku........................yaburuka mundege.
A] Zambia B] Hotera C] Kuchipatara D] Chikoro
38. Tendero naVimbai vaikurukura vari pai?
A] mundege B] mumota C] mubhazi D] mungoro
39. Kana ndege iri mudenga inoratidza kuva ……………..
A] murwere B] diki C] hombesa D] mwenga
MUTAURO WEDU
40. Ane chioko chegudo
A] anoba B] anorova vamwe C] anoseka D] anokara

Compiled by Gumbanjera N.S

You might also like