Professional Documents
Culture Documents
CHISHONA PAPER 1
Time 1 hour 30 minutes
Shingai ane tsika dzinozadza mukombe. Mwana anopa rukudzo kuvabereki uye nevamwe
vanhu vose.Haana hutsinye ane mutsa.Akatumwa anoenda achimhanya.Anoita mabasa
akasiyana siyana pamba.Anofumobika kudya kwamangwanani.Anochinja mbatya
dzekuchikoro. Anotora masokisi ake omageza.Achipedza izvi anobva atsikitsira pamabhuku
ake.Anoitawo nguva yekutamba neshamwari dzake vana Tashinga naTeurai.Muraini
raanogara kwaChiutsi anodiwa nevanhu vakawanda .Vakuru unongonzwa vachiti mwana
wekwaMapfuma uyu rudadiso.Vabereki vake vanomukurudzira kuti arambe aine tsika
dzakanaka. Chokwadi kuva netsika dzakanaka rudadiso kuvabereki.
Pedyo nemisha yaana Farai pane murume ane purazi rake. Murume uyu akapfuma zvikuru. Zita
rake chairo ndiMarufu Mbocho asi vanhu vanomudaidza kuti Mujubheki. Akapiwa zita rokunemera
iri nokuti akashanda kuJubheki achiri mukomana. Kana iye anofarira zita rake rokunemera iri.
Purazi raMujubheki hapana chisipo. Mukurima fodya arimo, mukurima chibage nenzungu arimo.
Mukupfuya mombe nenguruve arimo. Zvakare zvose izvi zvinomupa mari yakawanda.
MUTAURO WEDU
29. Munhu anogona kurima anonzi……………
A] bedzi B] murimisi C] hurudza D] mufundisi
30. Mwana asina vabereki vose anonzi……………….
A] nherera B] dangwe C] gotwe D] rufu
VERENGA NYAYA INOTEVERA UGOPINDURA MIBVUNZO INOTEVERA