You are on page 1of 8

ZQMS-ARC-REC-002

ASSIGNMENT COVER

REGION: ____Harare
________________________________________________________
____________

PROGRAM: Diploma in Education (Primary )


______________________INTAKE: ___19_______

FULL NAME OF STUDENT:Fortunate Tokonye


________PIN:_p2054605l__________

MAILING ADDRESS:__Ftokonye
@Gmail_________________________________________________
_________

CONTACT TELEPHONE/CELL: 0787705561______ ID. NO.: 08-


2112595V07______

COURSE NAME: _Kudzidza Nekudzidzisa Chishona ________


COURSE CODE:Depp212_______

ASSIGNMENT NO. e.g. 1 or 2: _____1___________ DUE DATE:


_5 March 2022 _______________

ASSIGNMENT TITLE:
Tsanangura zvakakoshera kudzidza mutauro
waamai______________________

________________________________________________________
_________________________

________________________________________________________
______________________

MARKER’S COMMENTS:
______________________________________________________

________________________________________________________
______________________

OVERALL MARK: _____________ MARKER’S NAME:


________________________

MARKER’S SIGNATURE:_______________________________
DATE: ___________
NHANGANYAYA
Mutauro werurimi rwaamai vedu rwechishona rwakabvira kare
nemadzitateguru edu . Isu sevana veZimbabwe zvakakosha kuti
tizive mutauro wedu nekuti unoita kuti tizive tsika nemagariro
edu echishona .lno rondedzero iri kutsanangura zvakakoshera
mutauro waamai .Mundima iripazasi ndatsanangura zvezvimwe
zvakakoshera mutauro wamai sekuti rwunoita kuti tive
nerupawo nevamwe vanhu ,chombo chekudzidza nacho
zvidzidzo ,vana vanodzidza tsika nemagariro,vana vagone
kutaurarirana nevamwe uye unoshanda ssezambuko rekudzidza
mimwe mitauro
KUTSANANGURO YEMAZWI AKAKOSHA
MUTAURO
Mutauro zvinoreva nzira inoshandiwa nayo nevanhu
venharaunda kufambisa mashoko. Panyaya yedu mutauro
wechishona inzira inoshandiwa nevanhu vakasiyana siyana
munyika medu kufambisa mashoko mukati mekugarisana
kwavanenge vakaita .
AMAI
Amai munhukadzi ane vana .Angava mwana wake weropa kana
asiri, amai munhu anochengeta mwana iyeye achimupa rudo,
zvipfeko, dzidziso, kudya ne kupfeka. Amai munhu anokwanisa
kutorera mwana wavagere naye chitupa chekuzvarwa. Amai
vanongona kungovawo munhu wemuvakidzani anopiwa
ruremekedzo kana mufundisi wekuti munhu wese anotarisira
kupiwa mazano kuva kwaari.
ZVAKAKOSHERA KUDZIDZA MUTAURO WAAMAI.
RUPAWO RUNOTISIYANISA NEVAMWE VANHU
Rurimi rwaamai ndirwo chete rwunokwanisa kutisiyanisa
nevamwe vanhu vanobva kumarudzi akasiyana siyana. Unogona
kuziva kuti munhu uyu anobva kuMozambique kubudikidza
netsika nemagariro ake. Zviri nyore kuziva kuti munhu uyu
anobvepi kubudikidza nerurimi rwake. Kubvisa mutauro wamai
pamunhu zvakangofanana nekubvisa upenyu pamunhu iyeye.
Magwa (2007) anopa umbowo hwakazara unotaridza kushandisa
mutauro wamai. Mutauro waamai ndiwo unoita kuti tinzi
vaShona. Mutauro uyu unoita kuti tikwanise kuita zvose
zvatinoda, ndiwo musimboti wetsika nemagariro edu.
Tikasadzidza mutauro uyu tichishandisa yevamwe tinenge tarasa
tsika nemagariro edu sevanhu vatema vemuZimbabwe.
Asiwo zvavo, kunyangwe zvakakosha kudzidza mutauro wamai,
hapasi pose panoda kushandiswa mutauro wamai. Vana
vanofanirawo kudzidza mutauro yakasiyana siyana izvi zvinoita
kuti vawane mabasa kune dzimwe nyika. Vana vanodzidzawo
tsika nemararamiro akasiyana siyana kubudikidza nekudzidzawo
mutauro yakasiyana siyana. Mazuva ano vana vava kudzidza
vakasangana varungu, maNdebele nevatema, saka kudzidza
mitauro yakasiyana kunovabatanidza
KUTI VANA VAGONE KUTAURIRANA NEVAMWE
Kudzidza mutauro wamai kunoita kuti vanhu vagone
kutaurirana vachinzwanana munharaunda mavanogara.
Semuenzaniso maZezuru anova akakomberedza guta reHarare
vanotaura mutauro uyu mumwechete vachinzwanana
zvakanaka.Hapana anoti handina kunzwisisa zvataurwa
neumwe. Pane kunzwanana kwemutauro hapana bongozozo
pane runyarararo rwakanyanya. Pakaita mitauro yakasiyana
panzvimbo vasinganzwe nekugona kutaura umwe mutauro
vanoti tirikudadirwa .Semuenzaniso pakaita vanotaura chirungu
vanotaura ChiShona vanoti tirikudadirwa. Vamwe ndevanoti
tirikutaurwa zvakaipa nevanenge vachitaura mutauro
wavasinganzwe. Saka kudzidza kutaura mutauro wamai
kwakakosha kuti vanhu vese varimunharaunda imwechete
vataurirane vachinzwanana zvakanaka vachiwirirana
vachidanana. Mutauro wedu waamai unotaridza kubatana
pavanhu vanenge vachiushandisa. So muenzaniso zvakare,
kunyangwe mwana wechikoro akanodzidza kuneimwe nyika,
akanzwawo vamwe vana ikoko vanotaura rurimi rwaamai
anobva aziva kuti ihama dzake uye zvinounza kubatana.
VANA VANODZIDZA TSIKA NEMAGADZIRIRO
Kuti vana vazive tsika nemararamiro evanhu veChiShona kubva
makare. Vanhu vakare vairarama netsika dzakanaka,
vachidzidziswa nevakuru vavo. Mwanasikana wega wega
aifanira kuwana nguva yekudzidziswa tsika nevanhu vakaita
savana tete naambuya uye vakomana vainzi vairairwa padare.
Naizvozvo panguva ino hapachina vanhu vanowana nguva
yakadaro. Saka kubudikidza nekudzidza mutauro wamai
muzvikoro, ndizvo zvavakubatsira vana kudzidza tsika
nemagariro
Vana vanodzidziswa mutauro waamai kuti vaone kupfuma
kwemutauro wavo kuburikidza nezvavanodzidza zvakaita
sengano, zvirahwe, nyaudzosingwi, madimikira uye netsumo.
Zvidzidzo zvetsika nemagariro zvinodzidziswa kuburikidza
nengano. Ngano hadzinyatsobuda dzikadzidziswa nemutauro
weChirungu. Ngano dzinodzidziswa nerurimi rwamamai.Ngano
dzinotanga kudzidziswa kumba mwana achiri mudoko nerurimi
rwaamai. Paanozoenda kuchikoro mwana anenge atoumbika
pakutaura mutauro waamai. Izvi zvinowedzera kuti mwana
azive maumbirwo emutauro werudzi rwake.
KUNOSHANDA SEZAMBUKO REKUDZIDZA MIMWE
MITAURO
Kudzidza mutauro wamai kwakakosha nokuti ndihwo hwaro
hwekudzidza mimwe mutauro yemuZimbabwe. Kuti mwana
agone kudzidza chirungu unofanirwa kutanga waziva mutauro
wamai vake. Kuti uzive kutaura Ndebele unofanirwa kugona
kutaura mutauro wechishona. Pane kakudyidzana kuripo pakati
pemimwe mutauro nemutauro werurimi rwaamai. Zvirinyore
kudzidza mumwe mutauro uchibva hwaro hwerurimi rwaamai
vako. Izvi zvinoonekwa zvakare kana mwana achizvarwa,
anozvarwa asina chaanogona kutaura. Anozodzidziswa kuti ava
ndimai ava ndobaba achidzidziswa nerurimi rwaamai vake. Izvi
zvinozoita kuti akwanise kududzira imwe mutauro achiahandisa
rurimi rwaamai. Somuenzaniso kuchidzidzo chechirungu mwana
anototanga afunga nemutauro waamai kuti akwanise kupindura
zvaanenge abvunzwa. Saka kudzidza mutauro kuno shandisa
sechombo chekufunga nacho.
CHOMBO CHEKUDZIDZA NACHO ZVIDZIDZO
Mutauro kana kuti rurimi rwaamai vedu rweChiShona,
unoshandiswa muzvikoro pakudziidza zvidzidzo. Mutauro uyu
unoita kuti vana vagone kuteerera, kutaura, kuverenga
nekunyora. Kuti mwana umwe neumwe agogona zvese izvi
anofanirwa kugona kushandisa mutauro waamai. Zvidzidzo
zvakaita seSvomhu, nemaSainzi zvakanyorwa nechirungu.Kuti
zvive nyore mudzidzisi anotsanangurira vana zvimwe
zvezvinyorwa nemutauro waamai vedu. Kana mwana asingazive
mutauro wechishona uyu anotadza kunzwisisa zvidzidzo zvakati
wandei.
Muzvikoro munodzidziswa mitambo yechiyakare yakaita
sejerusarema, mbakumba, muchongoyo neimwe yakasiyana
siyana. Mitambo iyi inoenderena nemarudzi nenzvimbo,
semuenzaniso kwaMurehwa kunotambwa jerusarema. Mitambo
iyi inodzidziswa nerurimi rwaamai, hatikwanise kushandisa
chirungu kuita mitambo iyi. Mitambo iyi unotidzidzisa tsika
nemagariro edu sevanhu vechiShona. Nekudaro rurimi kana kuti
mutauro waamai wakakosha kudzidza nekuti unoita kuti
kudzidzisa kuve nyore.
Rurimi rwaamai ndirwo rwunoshandiswa mune
zvose .Mumabasa, muzvidzidzo, mumatare edzimhosva,
panhepfenuro uye nomumapepa nhau. Hapana budiriro yenyika
ingaitwa pasina kukukosha kworurimi rwaamai. Kishe (2003)
anoti mutauro waamai ndiyo svombonoro yezvose, inounza
jechetere pamwe nokuzvitonga kuzere. Dlodlo (1998) anofunga
kuti nyika dzomuAfrica dzinokwanisa kumira senhengo dzine
chiremerera pane dzimwe nyika kana mutauro werurimi
rwaamai ikasimudzirwa zvakakodzera. Izvi hazvigone kuti
dziidzo yedu tichiita nendimi dzevauyi.

MHEDZISO
Tichipedzisa, munyori atsanangura zvakanakira kudzidza
mutauro waamai. Ataura kuti ndiwo mutauro unotanga kutaurwa
nemwana wese achitanga kutaura. Mutauro waamai ndiwo
unoshandiswa pakudzidza mimwe mitauro muzvikoro. Mutauro
waamai unoita kuti vanhu vadanane vanzwanane munharaunda
pavanenge vagere. Unoita kuti tizive kuti tiri vanani uye unoita
kuti vana vave neunyanzvi hwekuteerera, kutaura, kuverenga
nekunyora.
REFERENCE
Dlodlo (1998)
Kishe (2003)
Magwa, W. (2007). Chirairidzo Chemanyorerwo Matsva
Omutauro wechishona muBotswana, Mozambique
neZimbabwe.Cape Town: SED.
Mutokonyi, F. R. (1981). Ziva Mutauro. Gweru: Mambo Press.
Machibaya, E. (2011) Module DEPP212 Kudzidza nekudzidzisa
ChiShona. Zimbabwe Open University. Harare Zimbabwe.
Thompson, H. (1985). Teaching Primary English. London:
Macmillan.

You might also like