You are on page 1of 304

DILEMMA

Written By Rue M
0788357900

Chapter 1

Ndakavhara maziso angu ndateyewa


nezuva pandakavhura window. Ndaive
ndatononoka kumuka zuva kusvika
pakukwira ndiri mumachira. Ndaitoti
ndinonoke kumuka nekuti yanga iri
first time kunyatsorara kubva zvaive
zvatanga manyaradzo atete Maka vaive
vashaya three months back.
Manyaradzo avo anga aitirwa
pamuzinda saka zororo panga pasina.
Ini semwana wamambo ndaive ndisina
kumbopihwa basa rekuita asi
zvaizongonyadzisa kuti ndiswere
muroom mangu ndakarelaxer vamwe
vachifa nemapreparation. Kyle ndiye
anga asina basa nazvo kuti kunze
kunei kana kuti vanhu vanozoti chii asi
ini ndaizotonyara probably nekuti
ndaisagara nevabereki vangu chaivo.

Yes i once said Mambo vanga vari


baba vangu, vanga vari baba as he was
my biological father's brother. Vangu
baba vaive vakashaya ndiri mudiki
zvakapa mai kuti vanoroorwa kepiri
ndipo pandakazotorwa ndikatanga
kugara pamuzinda. I can't complain
kuti ndaibatwa zvakashata nekuti
pavana vese vepamuzinda ndini ndaive
ndakatodzidza abroad kuchikoro
chinodhura asi chero ndaiwana zvese
zvandaida ndaingove nekamwe
kafeeling kekuti ndiri kuitirwa favour
so i must do something in return. I
guess you understand kuti kana
uchichengetwa nevanhu vasiri
vabereki vako sometimes unofeeler
seuri mutoro kwavari so i always try
my best to be a good daughter.

Ndakamuka ndikatanga kuvhura


macurtain and windows for fresh air
ndokuzocleaner room yangu.
Ndichipedza ndakageza nekuenda
kunojoiner vamwe for breakfast.
"Morning everyone," i said pulling my
chair out.
"Your eyes are swollen," akadaro ari a
little concerned achigara paside
pangu. "Ihope," i lied nekuti zvaisaita
kuti kuzvimba nekuchema kwandaive
ndaita manheru.

"Ropafadzo?" Vakadaro mama and i


faked a smile because i could see that
vaiziva kuti ndanyepa. "Uhu," i replied
zvikanzi, "wakanonokerei kurara?"

"Mama kani," ndakadero as i didn't


want to answer her. "So birthday party
tiri kuitira kuno kana kuHarare?"
Akandibvunzira Kyle because ndaive
ndamukumbira kuti adaro.
"Totobvunza muridzi kuti anoda
riitirwe kupi?" Vakadaro dad ndokubva
ndatora mukana iwowo ndikakasira
kudavira kuti kuno.

"Come on Ropa kuno hatinyatsofara to


the fullest hona zvakaitika pane
rangu," akadaro Kyle zvikanzi nadad,
"kufara kwekuti munozonwa doro
moita musikanzwa?"

"Huh dad ndiyani anoita musikanzwa


patiri pano?" Aive akuda
zvekutopikisana nadad vake Kyle. Vaiti
vakatanga kupikisana zuva rinovira
rimwe rikabuda. "Muridzi webirthday
ati kuno so it's decided," vakadaro
mama Kyle nadad vakaseka
ndokuzoita zvechikafu. After breakfast
ndakadzokera kubedroom kwangu
semunhu aive asina zvekuita asi
ndichingozvikanda pabed ndakabva
ndafunga kugadzira CV rangu.

"Come in?" Ndakadaro ndanzwa Kyle


achiknocker ari padoor.
"Machenerepi?" Ndakabvunza
achipinda zvikanzi, "mugariro,"
akataura achisimudza mapaper angu
akati, "Ropa unoda kungozvinetsawo
Nashe akati achataura naManager
vekuCABS vokupa post iri nani,"
ndaizviziva hangu kuti Nashe semunhu
ane maconnection zvaisatora nguva
kuti andiwanire basa asi ndaida
kungozviwanira basa pasina chizivano.
"Anyway, forget it hanzi nadad tiende
kuMarecha Primary School tinoita
madonation," akataura achigara
ndikati, "oh ndanga ndatokanganwa
kuti ndinhasi," ndakataura
ndichisimuka ndokubva ndarongedza
madocuments."Rega ndingochinja
ndageza kare," ndakadaro ndichitora
hembe muwardrobe.

"Usachinje hako pamberi pamama


because vanotoona kuti pane
something," she said jokingly but
achitorevesa. I had gained a lot of
weight and mazamu anga akura
zvekuti vane maziso emweya vaive
votoona kuti nhumbu iripo. Kyle aiziva
nezvayo sezvo ndaimuudza zvese.
Besides being my sister, she was also
a good friend of mine,my only friend.
Ndakatopfeka floral long dress
nemaheel. Raive rakaregedzera zvekuti
pandaizomira kumberi kwevanhu
ndichipa speech hapana aizviona kuti
ndine nhumbu.

"Wakazotaura naye here Sten?"


Akabvunza Kyle tapinda mumota.
"Ndotaurei naye Kyle?" Ndakadaro
ndichiridza tsamwa sezvo nyaya
yaSten yaindigura kunorira.
"Ndakambokuudza Ropa ukati,
vanaKyle hatizive rudo," akataura
achimutsa mota ndikati, "zvakatoitika
Kyle apa takuda way forward."
"Way forward iripo kubvisa nhumbu as
soon as possible nekuti ikazosvika
kufour months haubvise zvekumhanya
and vanhu vanenge vakuziva kuti une
nhumbu," aive aisimbirira nyaya
yekubvisa nhumbu for the past two
months and sometimes ndaitodemba
kuti dai ndakamuterera first day
raakandipa mamorning after pasina
mashura ese. Nguva yacho yandaive
ndakarara naSten ndaitove murudo
ndichitoda kumuitira nhumbu. Kyle
paindiudza kuti zvandiri kuita ndiko
kunonzi kufarisa ndaitomuona
seanorwara nepfungwa.

Hazvina kuzombotora mwedzi kuti


ndione matrue colours aSten
ndaphonerwa nemunhu achiti mukadzi
wake. Handina kuzviisa muhana
ndichiti haihwahwo munhu ari kuda
kutipesanisa murudo rwedu.
Ndakatoudza Sten nezvazvo akatoti
haamuzive mukadzi iyeye and later
told him about the pregnancy.
"Ndeyani?" Ndakashamisika ndanzwa
achindibvunza izvozvo iye aive munhu
akandibvisa humhandara. "Who else
kunze kwako?" Ndakabvunza zvikanzi,
"umm Ropa isu takaita sex ka1?"
Hameno kuti aive akaudzwa kuti
nhumbu inobata aita sex kangani.
Ipapo ndipo paakazotanga kubuda
pachena kuti ane mukadzi akatondipa
500USD achiti ndinobvisa nhumbu asi
ndanga ndisati ndabvisa nhumbu
yacho ndichingozvitongesa
mupfungwa kuti ndobvisa nhumbu
kana kuti ndochengeta mwana.

"Kuchengeta mwana asina baba apa


iwe uri mwana wamambo hazviite
Ropa, tonyarira pai?" Akadaro Kyle ari
serious ndikaseka zvikanzi, "I'm
serious Ropa next month you're
turning 22 so at 22 wotozvipira kuita
single mom?"

"Zvekuita single mom hazvina basa asi


ndotyira reputation yadad," ndakadaro
ndichinzwa kuzvinyarira. Ndaive
ndazvibata wani for the past few years
kwakuzongowira pane murume
wemunhu. "Usazofinyamise face
nekusvipa svipa tasvika pane vanhu
Ropa," akadaro achinoparker mota
Kyle.

"This is crazy Ropa," akadaro


achiburuka mumota Kyle ndikati, "chii
futi?"

"Hona mazariro akaita vanhu Ropa


zvinhu zvinogona kutadza kukwana,"
akadaro atove worried ndikati, "usaite
seusingazive vanhu vemuno. Totanga
nekupa vana vaya vari under privileged
then imwe mhomho haina basa chero
ikashaya asi vana vatavinga pano
vawana zvinhu zvavo." Ndakadaro asi
nekuziva Kyle kuti aida kuti munhu
wese abve and something ndakabva
ndamuudza kuti ndiri kuda kutanga
kupa speech ndobva ndangobuda
pachena kuti haisi mhosva yedu
zvinhu zvikasakakwana.

Ndichingoenda pastage kuti ndipe


speech ndakatanga kuzarirwa
nekusvotwa zvekuda kutorutsa. Kyle
akakasira kuona kuti ndakuda kurutsa
but akazoita action late ndatorutsa
pamberi pevanhu.

End of chapter 1
[5/29, 8:26 PM] Rue M: Dilemma
Written By Rue M
0788357900

Chapter 2

Ropafadzo

Ndakapabva pamberi pevanhu


ndichishaya kana step nenyadzi. Mabvi
anga asisina kana simba
nekuzvinyarira. Kyle ndiye akazoita
take over speech nekuzoita
madonation ese. Zvinhu
pazvakazoshota akatoshandisa mari
yake kuwedzera ini yangu ndakaramba
nayo because ndanga ndisingazive
what future holds for me. Takazobva
paMarecha Primary zuva ratovira
ndichishaya kuti kumba ndainoti chii.
Zvaitove pachena kuti zvanga
zvatofamba kuti ndarutsa and you
know mwana musikana akangorutsa
vanotanga kufunga kuti ane nhumbu
chero asina.

"Kyle ngatinange kumba sha


tikanonoka inonoita nyaya," ndakadaro
ndaona akutora root isiriyo. "I'm doing
this for you Ropa," akadaro and i
frowned saying, "what?"

"Yes hande paprivate clinic toenda


kumba nemedical report, you know
kuti nyaya yacho haizopere," akadaro
ndikaseka ndichiti, "are you this stupid
or you're just pretending?"
Ndakabvunza ndiri serious zvikanzi,
"unoziva dad Ropa."

"I know him better than you but


kuenda kumba nemedical report
vanotoona kuti ndine nhumbu,"
ndakadaro zvikanzi, "you think a lot
Ropa. Doctor vanoita matest pandiri
then ndongonyepa zita tosvika kumba
tichiti warutsa masikati tikazopfuura
nekuchipatara takubva kuchikoro."

"You're the best," i said giving her a


kiss on a shoulder. Mafake report edu
akatozoita echokwadi nekuti
temperature yaKyle yanga yakakwira
probably nekuswera akamira pazuva.
Akazongonyepa hake kuti she was
feeling nausea. When doctor gave us a
medical prescription takabva tapfuura
nekupharmacy tichitenga mushonga
nekuti ndaitomudawo kuitira kuavoider
kungorutsa rutsa. Takasvika kumba
vanhu vasati vatanga kubika
zvemanheru kutoshaya kuti chii chaive
chanonotsa sezvo taidya supper
na7pm sharp.

"Ndizvo zvanga ndisingade zvekusvika


ndichibika iko chakambochinjira
mutemo wepano chiiko?" Akataura
asingavanzwe kusvotwa kwake Kyle.
"Paya tanga tiri vadiki that's why dad
vaidya zvabikwa nemukadzi wavo,"
ndakadaro ndichibvisa hembe
dzandaive ndakapfeka nekuti ndaitoda
kutanga ndageza ndozobika.
"Kuzviitisa uko," akadaro achienda
kuroom kwake. Hupenyu hwaive
hwakanaka tiri kuhigh school nekuti
zvekukitchen zvaionekwa namama but
mutemo wakazochinja zvakunzi
musikana wese mukitchen.

Ndapedza kugeza ndakaenda


kukitchen, Kyle akateverawo after a
few minutes apedzawo kugeza. "Sadza
riri fast Kyle," ndakadaro ndaona
achivhura 2kg yerice zvikanzi, "you are
right but rinotoda pamoto because
poto yacho pastove ndobika mbodza
chaiyo. Rice rinoita pastove," aive
right ipapo and kuti titange
kunobatanidza huni tovesa moto
tainonoka worse. Kyle akabika rice
nekugadzira dessert ini ndichibika
beef. In an hour or so tanga tapedza
vakazvara kare vakudaidzira nzara.
"Don't forget to put your pudding in
the freezer," ndakadaro takuenda
kudinning kunoserver vanhu Kyle
atokanganwa nezvedessert yake.
Tichipinda mudinning nechikafu nyaya
yekurutsa yakatanga kutaurwa nadad
but mom quickly dismissed it vachiti
tozotaura after meal. After meal nyaya
haina kutaurwa not because yaive
yakanganwikwa asi kuti vatomirira kuti
ini muridzi wenyaya ndiitange.
Ndakakwenya Kyle, mastermind kuti
apedzise zvaive atanga. Akaitanga
zvakanaka naka atovaratidza card
rekwadoctor kwakuzobhaiza
pakuwedzera nhema achiti, "hanzi
mangwana auye kuzotora diet chart
rake."

"Yoh ave nenhumbu here or it's


something ndiite surgery,"
akangopinda mumba out of the blue
achidaro Nashe and kuti Ms Kyle
varambe vachirudunura nhema
pamberi paNashe doctor
zvaisabuda."Inenge nhumbu chaiyo,"
akasimuka achidaro Kyle achinopa big
brother vake hug. Akatamba
nechokwadi Kyle asi nyaya yakabva
yatopera.

"Was it necessary kuti utaure nyaya


yediet chat," ndakazodaro tave kusuka
maplate zvikanzi, "of course Ropa une
zvinhu zvakawanda zvausingachadye
nezvimwe zvawave addicted to so
sooner or later vanotoona kuti wave
nenhumbu," i knew kuti aive azviitira
inini but nhema dzaKyle
dzaizowandisa.

"Nhasi ndiri kurara mubedroom mako,


we need to talk," paakadaro
ndakatoziva kuti aida kutaura
zvenhumbu. Honestly speaking
ndaisada kubvisa nhumbu but as i was
running out options, abortion was the
only way out of my misery.

"Kyle we've to be careful unoziva


masvikiro epano anogona kusvika
anytime akatifumura," ndakadaro auya
mubedroom mangu akati, "i must be
the one telling you that. You know
masvikiro acho anongosvika asina
kukokwa so it's better akasvika taita
plan chero akati takabvisa nhumbu it
will be better nekuti hakuna
kwazvinoenda zvinongogumira
munzira."

"So hautonzwe hana yako kurova


nenyaya yekubvisa nhumbu?"
Ndakabvunza zvikanzi, "iwe
handiuraye chero huku and nhumbu
yako uchanobvisa kuchipatara not
pamberi pangu. Above all mwana
waSten haaite kuchengeta
unomuchengeta akazokuramba pano
akuti anoda kuenda kuna baba vake
unongoziva zvinoita vana vemusango.
Anokanganwa kuti baba vake
vaitomuramba mai vakatambudzika
naye vari vega." Akati atanga
kundiudza madisadvantage
ekuchengeta mwana waSten
ndakasara ndiri convinced kuti
tomorrow morning ndainobvisa
kuchipatara. Kana ndabvisa ndaitoona
kuti panosvika masvikiro ndenge
ndisiri pamba. Pamuzinda pedu paive
nechivanhu chiri too much and as long
uri munhu wepamuzinda waifanira
kuita good example ukatsvedza chete
waifumurwa.

The following morning ndakamukira


kugeza ndichiti ndiende kuchipatara
makuseni seni. Kyle anga akundikana
kundiperekedza apihwa basa rekuita
nadad. Ndakadzokera pasame private
clinic pandaisazivikanwa kuti ndiri
mwana wamambo. I avoided kuona
doctor wataive taona the previous
evening ndikanoona gynaecologist.
Anga ari wechikadzi pane kuti aite
zvaakavinga pachipatara akatanga
kundipa counseling kuita sekuti ndizvo
zvandaive ndavinga. I wasn't
convinced kusvika azoti dai ndauya
nefamily member yati kurei because
ukazviita wega you'll regret it. Pafamily
member apa, Kyle ndiye ega family
member aizviziva and anga ari mukuru
kwandiri netwo months nekuti anga
atori premature otherwise dai
akazvarwa nguva yake yakwana ndini
ndaitove mukuru netwo months.

"Kana wanyatsodecider zviri izvo


zvauri kuda toita abortion yacho,"
akadaro mukadzi uya ndikati,
"ndichambofunga." Ndakabva paclinic
ndisina zvandaitwa ndikasvika kumba
Kyle asiko zvichinzi aenda kuHarare.
Kuzama kumuphonera phone yake
isingapinde. Ndakatotsamwa kuti
munhu aingobva pamba asina
kundiudza chirudzii and secret yangu
yaizonetsa kuchengeta iye asipo.

I was relieved paakadzoka manheru


vanhu vakuda kunorara. "Zvanga
zvichirwadza here?" Akauya kuroom
kwangu achibvunza ndikaseka ndichiti,
"zvii?"

"Don't be silly, i mean abortion,"


akadaro ari serious ndikatonyara
kumuudza kuti handina kuzobvisa asi
iye akabva azviona ega. "You're
hopeless Ropa i surrender," akadaro
achisimudza maoko.

"What do we do now?" Ndakadaro


zvikanzi, "don't ask me."
"Watsamwa?" Ndakadaro ndichinzwisa
tsitsi zvikanzi, "kana usingade kubvisa
nhumbu toipa umwe munhu
asingamboirambe okuroora."

"What are you saying Kyle? Unoziva


kuti ndakangorara naSten ka1 wani?"
Ndakamubvunza ndichimuka zvikanzi,
"ndiri kubva kuHarare and tapfuura
nekwaChika. Mai Liam vari stressed
nabamukuru vachiti ever since
vakashaya tete Aliyah vanenge
vakangogara vega, vatove
nedrepression. Vakamboita
zvecounseling zvikamboshanda
mafirst days Ruramai aivabatsira asati
aenda kuLondon nemurume wake.
After Ruramai vakatozama kutsvaga
matherapist asingapere but hapana
chiri kuchinja so dad suggested that
he must marry again. Akawana
mukadzi anogona kubatsirika."

"Why are you telling me this?"


Ndakabvunza zvikanzi, "will you allow
me to finish?" Ndakamupa sign
neruoko kuti apedzise kutaura
zvikanzi, "Mai Liam vati ndizvo
zvaifungawo kuti akaroora anoita nani
asi munhu wacho haana nguva yacho
then dad vabva vati kana iriyo nyaya
anogona kutsvagirwa
chimutsamapfihwa vachiti kumusha
kune vasikana vakawanda vasati
varoorwa and we all agreed kuti
musikana anenge abvuma kuita
chimutsamapfihwa oroorwa
nabamukuru and in that case you're
the first candidate."

"Are you crazy?" Ndakabvunza


ndashamiswa nemafungiro aKyle. "I'm
not crazy Ropa but ndiyo option iripo
kana usingade kubvisa nhumbu.
Bamukuru havana kumbokura
zvekudaro, he's only 30 and trust me it
will work."

End of chapter
[5/29, 8:26 PM] Rue M: Dilemma
Written By Rue M
0788357900

Chapter 3

Ropafadzo

Ndakasara ndave kufungisisa zvaive


zvataurwa naKyle but moyo wangu
waingondirambira kuti ndiroorwe
nemurume watete. Kubvisa nhumbu
kwaitove nani pane kuita
chimutsamapfihwa. Leon anga asiri
munhu ari bad kuri kuti ndaimuda asi
kunozviti tsve pamurume
wemushakabvu zvaisandiitira. Chero
iye Leon aitoshaya kuti ndapindwa nei
kubvuma kuita mukadzi wake. Natete
Aliyah we were very close zvekuti i
wasn't going to betray her like that.
Chero vanhu vepamba pavainzwa kuti
ndizvo zvandada vaifungei neni.

Ndiri busy kufunga way forward call


yakapinda from Sten. Ndakambozeza
kudavira nekutya kutukwa
ndokuzozvishingisa and picked up.
"Uri sei Ropa?" Ndakatoshamisika
kumunzwa achitaura ari calm ndikati,
"I'm doing good and you?"

"I'm not good," akadaro ndokuti,


"hoo." Ndizvo zvega zvandaikwanisa
kutaura ndokubva ati, "hoo?"

"Yes, wandiudzaka ndikati hoo. What


am i supposed to say?" I asked and he
laughed saying, "hasha ndedzeiko mai
mwana?" Ndakaridza tsamwa adaro
ndokuzoti, "taura zvawaphonera ndoda
kurara."

"Umm Ropa usadaro. I wanted to ask


kuti wakazodii," akadaro ndokubva
atura mafemo ndikati, "ndakazodii
pachii?" Ndakabvunza sendisangazive
zvaaireva. "Panhumbu," akadaro
ndikati, "nhumbu yani?"

"Ropafadzo?" He said ndikati, "hello?"


Akatora nguva akanyarara ndokuzoti
wakazobvisa here nhumbu?"

"Ndizvo zvandiri kubvunza kuti


nhumbu yani," ndaida kumupusisa
sezvaaindiita ndichimuudza kuti ndine
nhumbu. "Yako," he replied. "Why do
you care? Handi nhumbu ndeyangu so
it's up to me kubvisa kana
kuichengeta." With that i ended the
call. Ndakaisa phone pacharger
ndikadzima light ndichingoenda pabed
phone yakabva SMS from Sten
yakanzi, "we need to talk Ropa. Where
can i see you tomorrow?" Handina
kupindura ndokubva ndadzima phone
yacho ndichizvirarira.

The following day ndakakasira kumuka


for no reason ndokubva ndazoenda
kunoexercise naNashe kuri kuda
kufambisa nguva. I wanted to prepare
breakfast after bath but ndakawana
mama naKyle vakutopedza kugadzira
breakfast. "Morning," ndakadaro
ndichienda pafridge kunotora cold
water. "Yoh mvura inotonhora this
early?" Vakadaro mama ndikati,
"ndamuka kare ndanga ndina Nashe.
Ndichipedza kudya ndakabva ndaenda
kunoona Sten kuMasvingo town
chaiko. Ndanga ndakura so
zvekubvunzwa kuti uri kuendepi
zvanga zvisisiko. Chaingodiwa
kudzoka pamba in time.

"Iwe waendepi nemota yangu without


my permission?" Ndakaseka ndaona
message yaKyle. Yangu ndaive
ndaisiiya nekuti yanga isina fuel
inokwana kusvika Masvingo and
ndanga ndisingade zvekuburitsa mari.
Ndichisvika mutown ndakamuphonera
ndichimuudza pandaive
ndikazongoona munhu akupinda
mumota. Akada kundihugger
ndikakasira kunzvengesa body yangu.
Ndanga ndave netwo months
ndisingamuone tichingotaura paphone
but anga andichinjira zvisingaite. Anga
aonda nekusviba zvekuti zvaisada
chiremba kana maziso emweya kuti
aone kuti munhu anorwara.

"Zvaunenge wave kundisema?"


Akabvunza zvaiona. He had changed a
lot, malips aita red. Pandakaramba
ndakamutarisa ndakatanga kunzwa
kamwe kasmell mumota. I was sure
kuti kaibva paari because kubva
kumba ndaive ndisina kukanzwa and
Kyle was extra smart zvekuti mumota
make waisaona kana kapaper kesweet
and our brothers used to say ane shavi
redona.

"What's wrong with you Sten?"


Ndakatoti ndibvunze because
something was definitely wrong with
him. "Hmm Ropa nothing is wrong
with me," akadaro achida kuswedera
padhuze neni ndokubva ndatovhura
door kuti titaurire panze nekuti mhepo
yaipinda mumota yaive shoma zvekuti
ndaigona kurutsa.

"Tonogara kupi manje?" Akabvunza


ndikati, "anyway chero pamatombo
apo. Achibuda ndakasara ndikatarisa
paaive akagara ndikaona pakaita
kahunyoro nhunzi ndokubva
dzapamhanyira. Ndakasara
ndomutevera kumatombo
ndichiongorora step yake ndikatoona
kuti baba vane sick hakuna swag
yakadai.
"Wakatanga kurwara rini?" I asked
zvikanzi, "kurwara neiko am strong, fit
and healthy," he said lifting his
muscles ndakadzungudza musoro,
anga apera. "I'm sorry Ropa," he said
holding my hands. "Sorry for what?"
Ndakadaro ndichibvisa maoko angu
pane ake."Nerough yandakakuita now
i'm ready to fix everything."

"Fix what Sten? Wave kuda kufixer


zvinhu nekuti handisisina nhumbu?"
Ndakabvunza ndiri serious and
necondition yake ndakatozviona kuti
handingambomuudze chokwadi.
"Wakatobvisa?" Akabvunza ari
surprised ndikati, "hezvo handiti ndiwe
wakandipa mari yekubvisa nhumbu."
"I'm sorry about that too but i still love
you," i didn't comment such nonsense
ndokuramba ndakamutarisa neziso
rekuti i know you're lying but continue.
Azopedza kutaura ndakabva ndati,
"I've heard but patakadanana
pakakwana and dai ndanga
ndisingabvume kuita second wife
yako."

"Ropa you don't deserve to be a


second wife nowadays tiri kunetsana
naMai Ropa saka iwe ukangonditizira
anotoenda kumba kwavo wosara uriwe
uri panyanga," akadaro ndikaseka
ndichitomunzwira tsitsi. "Ropa
unondiona ndiri type yekutizira ini that
too kune munhu wemunhu
ndichinoputsa marriage yemunhu?"
Ndakabvunza ndiri serious nekuti
kutizira kwaisaita. Vanhu votonzwa
kuti mwana wamambo atizira murwere
anenge Sten. Chero ndisiri mwana
wamambo it was impossible kuti chero
musikana atizire kumurume wemunhu
achitouya pamba pane mukadzi kare.

"Ndozviziva kuti uri mwana wamambo


so kutizira kunonyadzisa saka
unongoita zvinhu zvinokudzingisa
pamba," i felt sorry for him adaro.
Pamba pedu paisadzingwa mwana
chero atadza zvinengei. Chero ini kuri
kuti vanhu vaziva kuti ndine nhumbu
ndaingonyadzisa kwemafirst days then
nyaya yotoexpire as time goes on.

"Sten chero ukaramba mukadzi wako


wouya nedanga remombe kumuzinda
handichakude," ndakadaro
ndichisimuka zvikanzi, "eeh ndanga
ndichitoti ndiri kukubatsira tiwane
kugarisana waendesa Mai Ropa nekuti
kutaura chokwadi unonetseka kuwana
anokuroora une chirwere."

"What do mean?" Ndakabvunza


ndichicheuka zvikanzi, "wanga
uchibvunza kuti ndorwara nei paya
handiti ndakabata sick two months
back ndokuzoudzwa last week
kuchipatara kuti ndave nechirwere."
"Does that mean neniwo ndine
possiblity yekubatwa neAIDS?"
Ndakabvunza body yese yakushaker
akati, "yes ndizvo zvandanga
ndakudanira kuti titaurirane." I was
completely dumbstruck when he said
that.Ndakakaruka ndave pasi neshock
yeHIV. Zvimwe zvese zvaigamuchirika
asi kwete AIDS ini ndakarara nemunhu
kaone chete. Ndakatanga kuona kuti
zvaitaurwa kuchikoro kuti, "one minute
of sex can make your life a misery that
knows no end." Chero Kyle aimira neni
pese paAIDS aikundikana and panga
pasina pabudiro. We could fake
medical reports but zveHIV
taisambofaker.Ndakanzwa musoro
wangu kurema ndokubva
ndazvimanikidza kusimuka ndichigara
padombo ndikati, "tell me uri kujoker
Sten."

"I wish i was joking but ndizvo zviripo


ndiyo nyaya yanetsa kumba," akadaro
ndikati, "yoh so hauna kuwana AIDS
kuna Mai Ropa besides Mai Ropa utori
nevamwe vakadzi vawairara navo?"

"Let's not fight over spilt milk. We


need to think of a way forward,"
akadaro ndikaridza tsamwa ndichiti
handina way forward yandinotaura
newe ndiri kutoenda kuchipatara
kunotestwa." Ndakataura ndakubva
paari zvikanzi, "enda hako unotestwa
uwawane kunwa mapiritsi at the
earliest nekuti chirwere ndicho
chaunacho." Ndakanzwa kumuvenga
adaro asi zvekumuita panga pasina.

End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900
Chapter 4

Ropafadzo

Ndaingodriver chero zvandada


kukanganwa kuti muridzi wemota
aipenga akangoona any crack pamota
yake. Ndakaenda pane kamwe
kaprivate clinic pasina anondiziva.
Ndakadzokera mumota ndasvika
padoor nekutya chirwere. Ndaifunga
kuti ndikabatwa nechirwere ndigodii
nehupenyu hwangu nekuti ndaitoona
hwaguma. Without thinking much
ndakadzokera kumba ndichiti
ndombonofunga zvandinoda
ndakadzikama. Ndakasvika lunch time
but handina kuenda kudinning as i
wanted to be alone. Kyle akambouya
kuzonditarisa but ndanga ndisiri
mumood yekutaura naye. I trusted her
but zveAIDS ndaisaziva kuti
anozvigamuchira sei that's why
ndisina kumuudza.

Zuva ravira ndakazobuda mubedroom


ndakuenda kune vamwe. "Manheru
kune family meeting so dai matanga
kubika nekuti vanhu vanenge vakati
wandei," vakadaro mama ndokubva
ndati, "vekuHarare vari kuuya here?"
"Everyone," she replied and i
whispered, "Jesus." Takaenda
kukitchen naKyle ndikati, "pari kuda
kutaurwa nezvei pafamily meeting?"

"I need to be left alone Ropa, i'm not in


the mood to talk," ndakaseka adaro as
she was trying to revenge me. Ndizvo
zvandaive ndamuita masikati paaive
andivinga. She was so serious zvekuti
ndakapedzisira ndamira kuseka. "Enda
hako unozorora, I'll manage," akataura
ari serious ndikati, "that's why i love
you sis." Ndakataura ndichitobuda
mukitchen nekuti aive akatotsamwa
zvemasure and kuramba tiri
panzvimbo one tairovana chete
naKyle. Kurwa kwaisambova
kwenhamo patiri and kazhinji kacho
tairwira zvinhu zviri silly like last time
taive takaitira fight mukaka chaiwo.

"Ko hausi kubika?" Mama vakabvunza


ndikati, "Kyle andidzinga kukitchen."
Ndakanyepa zvangu zvikanzi, "why?"

"I don't know ati ari kuda kubika ega,"


ndakadaro zvikanzi, "aah endai
munobetserana anopedza nguvai
akabika ega?" Ndakadzokera
kukitchen ndikati, "ndanzi namama
ndibike." Haana kupindura ndokubva
ndatangira pandaive ndapedzisira.
Munhu kwakutoisa maearphones kuti
ndisamutaudze.
"What's wrong with you Kyle?" I asked
removing her earphones. "What's
wrong with me?" She repeated after
me and i said, "yes." Akaridza tsamwa
akabvuta maearphones ake kwakuti
siyana neni. "Stop being childish
Kyle," i said.

"It's now childish because ndiKyle


azviita? Iwe pawandidzinga muroom
mako sembwa ndataura chinhu. Firstly
wabuda nemota yangu ikadzoka ine
dust and you didn't bother kuudza
vakomana vaiclean. Haisi mota
yegovernment kana huremende iyo,"
ndakaseka adaro.

"If that's the case, i'm sorry Kyle," i


said holding my ears like what those
Indians in soap operas do. Akabva
aseka achiti, "stop being dramatic
Ropa." Takatotanga kuseka discussing
about those telenovelas.

"Wanga una Sten handiti?"


Akazongotanga nyaya yaSten from
nowhere. "Umm no," i replied zvikanzi,
"liar! Someone saw you in Masvingo.
Wanga wakatogara kumatombo,"
akadaro achinditambidza phone yake
ndokutoona zvesure ndini naSten.
"Wariwanepi?" I asked zvikanzi,
"ndasenderwa neumwe mukomana
actually aona mota yangu in Masvingo
akafunga kuti ndiri around
ndikatozviramba kuti handisi
kuMasvingo ndipo paazotora photo
rako nemota."

"He's crazy for sure," ndakadaro


ndichitarisa poto yangu. "Let it be, ati
chii Sten chaita kuti udzoke pamba
wakatsamwa?" Akabvunza ari
concerned.

"What did he say?" She asked again


and I sighed. "It's a long story," i later
said that. "I hope it's an interesting
story," she said jokingly and added,
"hazvishamise kuti anetsana
nemukadzi wake ave kuda kukutsvaga
kuti udzikise stress."
Ndakangomutarisa netalking eye akati,
"fine ndanyarara." Takazopedzisa
kubika tave kutaura dzake nyaya
nekuti mazuva acho anga ari murudo
neumwe mucoloured wekuHarare. Kyle
ndiye umwe anga ane manasty
breakup asi zvake zvaive nani pakuti
her pride was bigger than her feelings.
Kyle azviona semunhu wepamusoro
soro so anga asati atorara
nemukomana nekuti vese vaiidanana
naye they don't deserve her. Kyle aive
munhu ari bho but pride yaive yakati
wandei zvekuti vanhu vasiri close naye
vaitomuzeza. Kunyangwe ini
pandakatanga kugara pamba pavo
ndaitoshaya kuti tichagarisana sei
naye nekuti aizvinzwa in fact achiri
kutozvinwa sugar asi nenyaya yekuti
ndaive ndamujaira ndanga
ndisingachazvione.

"So haasi kunetsera nyaya yesex


Milton?" Ndakabvunza zvikanzi, "aah
anonetsera ani akazvitaura kaone
ndikamuudza kuti I'm from the royal
family and any girl from the royal
family anoita sex aroorwa so haana
kumbokisa." Takazonyarara veHarare
vasvika takumbokwazisana. After
supper ndipo pakaitwa family meeting
vanhu vachionesana nyaya yaLeon.
Meeting yakasvika pakupera pasina
abuda pachena kuti ari kuda kuroorwa
naLeon.

"Ladies haisi nyaya yekumanikidzana


or what. Leon is a good man that's why
we want to help him and kuri kuti pane
abvuma vanhu vekwaChika they're
willing to pay the bride price again so
vanabamunini musatye kuti vana
venyu vanoenda mahara. Vanotoora
patsva kwamuri apa tanga tangozviitira
kuramba takabatanidza hukama navo,"
akadaro Nashe.

"I have a suggestion," akadaro Kyle


ndikamutarise neziso rekuti asataure
nonsense nekuti ndaimuziva. "You're
right bro but someone anogona
achitoda but achinyara kutaura pano
pakazara vanhu so i was suggesting
kuti ane ada kuita muroora
wekwaChika oona mama or someone
mukuru waasinganyare then by
Sunday tinenge tave nesolid reply
yekupa vanhu vekwaChika." Ndini
ndakatanga kumuuchirira maoko
nekuti aive ataura zvine musoro.

"Uri right ipapo Tinashe asi kuti


zvireruke nekuti vasikana vacho
ndevezera rako ngavangoona iwe
nekuti kuna mother vanogona kunyara
zvakare," vakadaro dad and it was
decided kuti ari interested naLeon
anoona Kyle.

"This is your chance Ropa taura neni


ndikufambisire nyaya dzako," she said
jokingly vanhu vaenda. "Imbomira
majokes Kyle ndiri stressed ipapa
ndaona Sten ave kurwara and anga
achitoti neni ndine HIV," kungodaro
akadonhedza macup ese aida kuisa
mucupboard. Hapana kana one ese
akapwanyika sisi vavhunduka.

"Uri kunyepa Ropa," akadaro


akuunganidza macup aive atsemura.
Ndakatomutsanangura condition
yaSten but iye aitove nehope yekuti
handina chirwere.

"It's also possible that akarara newe


asati ave nacho," akadaro Kyle ndikati,
"maybe but ndakarara naye two
months back and ipapo akabva arara
neumwe munhu chirwere chikatotanga
kumurwarisa so early?"
"Come on HIV can be detected from 18
to 90 days after exposure and chakaita
kuti Sten akasire kubatwa HIV inyaya
yekuti anga ane sick and from what
you told me akatozoudzwa last week
kuchipatara kuti anacho whereas along
aingoenda kuchipatara chisati
chakuonekwa muropa make. Above all
dai wanga une HIV ungadai une sick
saiye Ropa," aizama kundisimbisa
hake but i wasn't satisfied.

"We can only be sure that handina


chirwere after matest," ndakataura
ndichimubatsira kusimudza bin raive
aisira those broken cups.

"You're right toita maself test ndaona


zviINSTI HIV Self Test mumota
yaNashe ndogonotora one kit toita
tega," idea yake yaive nani but
ndakazoti, "how accurate is INSTI HIV
Self Test?" Ndakabvunza zvikanzi, "it's
99.8% Ropa and kana taona maresults
tozoenda kuclinic kunotester futi just
to be sure."

"And after two weeks tozodzokera futi


because 90 days dzacho dzinenge
dzakwana," we finally agreed on that.
Tichipedza zvemaplate takabva taenda
kubedroom kwaKyle kunoita matest.

"Geza maoko ako achene Ropa,"


akadaro achivhura chiINSTI HIV Self
Test kit. "Uri healthy iwe ropa rese iri,"
she said jokingly paakandibaya
nekatsono pachigunwe. She didn't
bother to rub my finger because ropa
racho ranga rakawanda akatozopukuta
rimwe netissue. Ndaimutarisa achiita
matest ari serious.

"So kana ndinayo chinoita sei?"


Ndakabvunza akanditarisa neziso
rekuti seriously? "Don't give me that
look handisati ndambozviita," akadaro
akazoti, "let this liquid disappear and
I'll show you. Yanga iri colourless
liquid yaive mukabottle 3 yaanga adira
maanga aisa ropa rangu followed by
another blue liquid.

"You see that dot chiri pacontainer?"


Akadaro achiita kakunongedzera
ndokuti, "yes."

"Pakaramba pane one dot it means


you're negative but pakangoita chimwe
chidot kuzasi zvikaita two wotopinda
pachirongwa." Aitotaura pasina fear
asi ini ndaive ndakutobvunda.

"Fingers crossed let's see kuti which is


which," akadaro apedza and i could
see that iye aibvundawo. "Let me to
the washroom," akadaro achibuda
mumba apa bedroom yake yaive
nebathroom ndikaziva kuti kutya ini
ndakabudawo ndichiti ndinobvisa
hembe panze. Takadzokerana mumba
tese ndokunanga paive nechitest
device to read results and i almost
screamed ndamaona.

End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 5
Ropafadzo

"What is it?" Akabvunza Kyle ndikati,


"i'm positive." Reaction yaakaita ipapo
yakandipedza simba zvikanzi, "you
can't be positive." Akaenda paive
nechitest device ndokubva azoti,
"Ropa be serious pane one dot which
means you're negative."

"Oh that's what i wanted to say


handina HIV," akadzungudza musoro
ndadaro ndikati, "don't do that ndanga
ndiri confused." Ndakatura mafemo
kasingapere nekuti ndaive ndapona
though panga pasara dzimwe two
weeks kuti tione kuti handina virus
zvemasure. "I'm going to dispose
this," akataura achiunganidza zvinhu
zvataive tashandisa. Abuda phone
yake yakasara ichipinda call from
Tapiwa mwana wamainini vedu. Mai
vake vanga vari second wife wadad
vangu and i guess because vanamai
vedu vaive pabarika that's why taive
tisingawirirane. Consanguineously, i
was more close to her than Kyle but
naKyle taitoita sevana vanyamunhu.

"Hello," i picked up her call.


"Ndokumbira kutaura nemuridzi
wephone," akadaro ndokubva ndati,
"okay." Ndakadaro ndichiisa phone
pasi mari yake ichiperera mahara.
"Tapiwa ari kuda kutaura newe,"
ndakadaro Kyle adzoka ndokubva
atora phone yake ari a little surprised.
Apedza kutaura paphone akabva aseka
achiisa phone pacharger. "Hanzi chii?"
I asked and she said, "you won't
imagine, ati ari kuda kuroorwa naMr
Leon Chika."

"What?" Ndakabvunza ndiri surprised.


"Haasi kuziva kuLeon ndewedu," she
said with a naughty tone. "What are
you saying?" Ndakadaro ndichimurova
zvikanzi, "i'm serious as your older
sister ndiri kuona zviri best uroorwe
naLeon." Kutotaura semunhu mukuru
zvakandipa kuseka. "Jokes aside
Ropa," she said. "Zvave pachena kuti
hausi kuda kubvisa nhumbu so it's for
everyone's good ukaroorwa naLeon."

"Kyle in two weeks time ndenge ndave


three months pregnant so hazvimboite
kuti tizopa Leon nhumbu isiri yake,"
ndakada kumuonesa but aitoita sekuti
anga ari prepared kundianswer. "Hona
Ropa ukaroorwa in two weeks time
handiti wozodzoka kumba nhumbu
yave nesix months according kuvanhu
vekwaChika but isu tenge tichiziva kuti
nguva yakwana. Paunozvara tobva tati
ipremature and kuzoona six months
dzasvika kuti uuye kumasungiro
tinenge tave nebetter plan than this
trust me."
"I'll give a thought but that's cheating
Kyle," ndakadaro zvikanzi, "cheating?
It's not cheating Ropa munenge
muchitobatsirana because this is not a
love marriage it's a compromise so
mafeelings paside."

"I will give it a thought," ndakataura


ndichisimuka akati, "that's more like
my Ropa. "Haiwa good night,"
ndakadaro ndichidzima light. "Night
akazodaro ndatove panze peroom
yake.

"Maybe she's right," ndakazviudza


ndave muroom mangu because
ndaizorwadzisa nekunyadzisa vanhu
vanzwa kuti ndine nhumbu yemurume
wemunhu. After kuvarwadzisa
ndovapa imwe labour yekuchengeta
mwana waSten because nhumbu
yaizonditadzisa kuenda kubasa. Chero
ndazvara ndaitozoenda kubasa mwana
ave neone year or so nekuti dad vaiti
hakuna mukadzi anoenda kubasa
achisiya kasvava kake. Ndakanonoka
kurara ndichingofunga kuti ndoita zvipi
chaizvo.

"Oh noo!" Ndakadaro ndamutswa


neknock. "Half eight?" Ndakadaro
ndakatarisa time paphone. Ndaive
ndanonoka kumuka zvandaisamboita.
"I'm coming," ndakadavira ndichipfeka
morning gown. "Morning tete,"
akadaro Maidei mukadzi wabrother
Anashe.

"Morning," i replied. "Muri kudiwa


nababa kusitting room," akadaro
Maidei achitendeuka kuti aende
kwaaive adaniwa nemurume wake. "Is
everything okay?" Ndakabvunza
zvikanzi, "i don't think so," she said.

"What?" Ndakabvunza ndavhurisa


maziso as if ndaida kuona zvaitaurwa.
"Yes, tete Kyle varohwa," paakadaro
hana yakarova ndokubva ndati, "i'm
coming." Ndainzwa kuda kuenda
kutoilet semunhu anga achangomuka
but ndakazeza kuwedzera kutsamwisa
dad nekunonoka kuuya kwavaive
vandida. "She's lying," ndakadaro
nechemumoyo because dad
vaisambonyara Kyle. She was her
favorite after all. "It's impossible,"
ndakadaro futi nekuti kubva ndigare
pamuzinda anga asati amborohwa
kana nani zvake.

"Just stop it Gara!" Ndakanzwa mama


vachidaro voice riri padenga ndikaziva
kuti chakachaya. "Kasi nyaya yaSten
yaleaker?" Ndakazvibvunza
ndikashaya reply. I bite my lower lip
ndichipinda musitting room. I was
feeling anxious kudarika zvandaiita
ndakamarira maresults eHIV aya. Dad
vachingondiona vakabva vati, "chii
chamuri kushaya pano kudanana
nevarume vevanhu?" Ndakagara pasi
ndichitarisa Kyle anga akahwanda
kuseri kwamama. Her face was delicate
so zvaitoonekwa kuti mbama yapfuura
napo.

"Varume vevanhu vapi dad?"


Ndakabvunza sendisingazive
zvavaireva. "Ndokutsemura musoro
Ropafadzo!" Vakadaro nehasha
ndokubva vasimuka vachiuya pandiri.
Pavakangondisimudzira ruoko i
protected my face with my hands.
"Handidanane nababa Ropa ini,"
ndakadaro nekutya kurohwa. "Hoo
vanonzi baba Ropa?" Vakadaro
misodzi ndokubva yatanga
kutochururuka. "Usatombocheme
hako," akadaro Nashe ari serious.
"How could you Ropa?" Akabvunza
mukadzi waNashe ndikati,
"handidanane naye bvunzai Kyle."

"Anotaurei iyeye anga achitoti haazive


Sten wacho?" Vakadaro dad
vachindibata shaya dzese neruoko
one. Semunhu aive agara achida
kuenda kutoilet ndakakaruka
ndazviwetera. Ndakasimuka nenyadzi
ndichida kunotora chikorobho
zvikanzi, "uri kuendepi?"

"Hapana," i replied ndokubva ndamira


paweti yangu. "Hausati wapindura kuti
chii chaunoshaya pano pamba?"
Vakabvunza rwepiri ndikati, "hapana."
"Aihwa chiripo," akadaro Nashe.
Aitove nehasha dzekuda kundimedza
chaiko."Believe me bro handidanane
naye," i said. "Nyarara uko ndichitobva
paLas Vegas makuseni his wife
approached."

"Akati chii?" Ndakabvunza zvikanzi,


"mira nditaureka. Anoshanda pahotel
ati aona surname yangu yakafanana
neyaRopafadzo Gara ndinomuziva
here that's when i told her kuti uri
sister yangu ndipo paati ndikuudze
usiyane nemurume wake.
Ndamutsamwira kuti anondishurira
because i believed kuti sister yangu
haingamboite girlfriend yemurume
wemunhu ndipo paatanga kundiratidza
maphoto ako nemurume wako and
you're so cruel to the extent yekupa
mwana wechikomba zita rako. Tell me
kuti mukadzi iyeye anenge achifungei
paanodana mwana wake nezita rako?"

"This a great misunderstanding,"


akadaro Kyle zvikanzi nadad, "kana uri
sewe Tinashe vhara karomo kako?"

"How can i?" Ndakadzungudza musoro


nekuti anga akuda kutitangira zvimwe
pakuchallenger dad. "Tinashe
nyarara," vakadaro mama zvikanzi,
"handisi kunyarara kana Nashe achiti
nyaya dzaanzwa kuhotel odziona
sechokwadi otoconcluder kuti Ropa ari
wrong. Nashe akubeliever munhu
waaona nhasi kudarika isu vaanogara
navo."

"Handina kubeliever mukadzi waSten


ini but anga ane evidence yekuti uyu
akahura nemurume wake akabvisa
nhumbu yacho kuswera nezuro and
kuswerazuro akarutsa kwaMarecha
mukauya pano muchitinyepera!"
Akadaro nehasha Nashe ndikati,
"ndakabvisa nhumbu ini?"

"Iwe usandibvunze zvawakaita iri form


rakwafiller uri kuchipatara uchida
kubvisa nhumbu," akadaro
achindiratidza form racho. For sure
ndini ndaive ndafiller that form but
ndanga ndisina kuzobvisa nhumbu
yacho.

"Wariwanepi?" Ndakabvunza zvikanzi,


"usandibvunze zviri silly wanzwa?" It
was quite obvious kuti aive ariwana
muroom yangu because kuchipatara
ndakabva naro. It was a big blunder
and a misunderstanding because
zvekubvisa nhumbu ndakazorega last
minute asi paform paita sekuti
ndakatobvisa nhumbu.

"This not fake tete and this is your


handwriting," vakadaro Ms Law
vakabata that form. "Anorambeiko
handiti ndariwana mubedroom make
panga ndamuvinga ndichida kutaura
naye. Ramba tinzwe?" Ndairamba
ndichiti chii? Kyle aida kutaura
ndikamupa sign yekuti anyarare.

"You're right brother but i didn't know


kuti ane mukadzi regai ndinotora
phone yangu muone," ndakadaro
zvikanzi, "tora tione." Ndakanoitora
akatanga kuverenga mamessage
ndokuzodzoka phone agutsikana kuti
handisi hure.

"Fine but before this matter escalate


wakuroorwa naLeon kwaChika
because i don't want drama," vakadaro
dad ndichida kutaura ndokubva zvanzi,
"that's final."
End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 6

Ropafadzo
Noise yanga yaitwa makuseni pamba
saka ndakaswera zuva rese ndiri down
worse nekushaikwa kwaKyle pamba.
Anga aenda kuMasvingo kunoona
dermatologist wake nekuti aive aita
miliaria paive arohwa mbama.
Zvemapundu aisatombozvida zvekuti
akangobuda kana kapimple aita stress
semunhu wemodelling, aitove neskin
yakanaka zvekuti she always wanted to
mantain it. Ndakaswera
ndakazvivharira muroom nenyadzi,
ndaisada kana kuona munhu expect
Kyle because aindiziva inside out.

"Ropa!" I heard mama calling me


ndokubva ndangomuka ndichinovhura
door vakapinda. Vakagara paside
pangu ndokuti, "so wazoti chii
nenyaya yaLeon?"

"Of course no mama!" Ndakadaro


voice riri pamusoro nekuti ndaive
ndasvotwa nekumukira nonsense
imwe and mwanasikana wavo anga ati
ndimbotanga ndichiramba pandaive
ndamuudza kuti ndave ready.
Ndaisada kuti vazofeeler guilty later
vachiti vakandiforcer zvinhu
zvandisingade hence ndakaramba.

"Lower your voice Ropa," she said


ndikati, "why? Muri kutya kuti vanhu
vanokunzwai here?"

"That's not the case Ropa everyone


knows about it this tanga tangoona
zvakanaka kuti tinzwe mafungiro ako,"
vakadaro ndikati, "why me? Why
musina kutaura naTinashe?"

"That's your problem, you always


compare yourself with her," vakadaro
ndikati, "yes because you always
differentiate us. Tinashe mwana wenyu
that's it why muchiramba kuti aroorwe
nabamukuru but ini ndozonzi ndiite
mukadzi waLeon. Chii
chakandakasiyana naTinashe chaita
kuti musarudze kuti ini Ropafadzo
ndiite chimutsamapfihwa." I felt bad
after saying that zvikanzi, "hey taurira
pasi nzeve dzine madziro. We're doing
this for your own good Ropa and I'm
sure that two broken hearts can
complete each other. It's not your fault
that Sten cheated you and it's not
Leon's fault either that his wife passed
away." Vanga vatotanga nesweet talk
zvekuti ndakapedzisira ndati, "I'm
sorry mama."

"For what?" She asked ndikati, "about


what i said earlier."

"You don't have to apologise for that


ndizvo zvinofunga vana vese kuti
umwe anonyanya kudiwa kudarika
umwe. Take Tinashe and Anashe for
example they're twins and vese
vanofunga kuti we compare them,"
that was partly true asi chokwadi
chaicho ndechekuti Kyle ndiye aidiwa
kudarika tese Munashe our six year old
brother. Munashe ndiye anga ari last
born asi mwana aive Kyle.

"Let's say ndabvuma do we have to tell


vanaLeon kuti ndakabvisa nhumbu?"
Ndakabvunza zvikanzi, "don't worry
about that ndataura naMai Leon
ndikavaudza zviri necessary chete
kwete zvinozoita kuti vaone sevapa
munhu asingaite only because mwana
wavo akafirwa."

"Mama?" Ndakashamiswa navo


ndikati, "mama hamusi serious a while
ago manga muchiti you wanted my
consent." Pane kuti vapindure she
gave me a tight hug ndokuti, "rega
ndinobika varume vaya vatozara
kudare."

"Ndapedza kubika handisi kuona


maiguru," akauya achidaro Maidei.
Ndakabva ndafunga kunobikawo
chikafu chemunhu wese. Uyu Maidei
anga abika rekudare. Pamba pedu
painge nyika mbiri because lived like a
modern family on the other hand
following all the traditions. Taitoita
mabira, masvikiro achitouya pamba
vachitoita chivanhu chavo and by
evening dad vaitodyira sadza kudare
nemachinda avo though vaingodya
zvishoma kuti chikafu chigowana
kupinda kana takudya supper
semumhuri.

Handina kuzotobika zvemanheru


manamaiguru vave kubika. Nyaya
yaSten yaive yanyarwara but you could
see that something is not right pamba.
Kamerriness kaigara kari pamba was
totally gone because of me worse
nekushaikwa kwaKyle padinning table,
tension yakabva yawedzera.

"Where's Kyle?" Vakangokaruka


vabvunza dad thought vasina kunanga
munhu ndaitoziva kuti vaibvunza ini.
"Abuda achiti ari kuenda kutown
kunoona doctor," i replied.

"19.10 achiri kuona doctor?"


Akabvunza Nashe ndikati, "ini
andiudza kuti ari kunoona doctor
zvekuti ave kuitei handizivi, you can
call her."

"Geez," said Nashe. "Let me call her,"


vakadaro Mai Muku ( Nashe's wife).
Yakaringer twice ndokuzodavira,
"murimi tete everyone is worried about
you?" She said.

"Why?" Takamunzwa achida Kyle as


phone was on loud. Ndofunga
vakatoshaya zvekupindura maiguru.
"Tell them not to worry about me, i'm
not a chill so i can take care of
myself," with that she ended the call.
Haraimbodyika rinopisa Kyle asipo
pamba. Ndakangofunga kuti anga
achiri kutsamwira kurohwa kwaive aita
ndikanamatira kuti asaite zvinhu zviri
stupid kana kuenda kumba kwaMilton
because kana munhu akatsamwa
anogona kuita zvinhu zvaanozoregret.
I decided to call her akakasira kudavira
as if aive akamirira call yangu.

"What is it now?" Akatanga nekudaro


ndikati, "uripi?"

"Ropa please," she replied ndikati,


"don't be childish Kyle dzoka kumba."
Asati apindura dad vakabva vatora
phone vakati, "if you know what's
good for you be here in 30 minutes."
Vapedza vakakata phone
vakandidzosera phone. Tese taitarisa
time tichitarisira kuti musikana
achadzoka but one hour yakakwana
pasina kana sign yake and when we
tried to call her back, her mobile was
not reachable.

"Imi mamuroverei dad?" Asked


Munashe with bleary eyes. Havana
kumupindura nekuti vakangonyara kuti
mwana mudiki. "Let's go to bed,"
ndakadaro ndichimubetsera kusimuka
nekuti aive aneta nehope. Ndakasiya
ndamuradzika pakudzoka ndipo
pandakaona mota yemwanasikana
ichipinda. I rushed to dinning
kunoudza vanhu kuti Kyle adzoka but
takapindirana mudinning iye achipinda
nemain door. All eyes were on her,
anyatsosvika pane vanhu akabva ati,
"i'm back." Hapana akamupindura
ndokubva ati, "fine you don't want to
talk to me, night." Akadaro akuenda
kuroom kwake ini ndokubvawo ndati
night ndichimutevera.

"What's wrong with you Kyle?"


Ndakabvunza asi haana kupindura
ndikasiyana naye. The following
morning akamuka asipo futi pamba
ndikatoona kuti nyaya yacho haipere
mushe. Aive akarerwa sezai so kuda
kuzorovana naye akura yatoive
mistake and kudzosa munhu mukuru
mugwara was almost impossible.
"If not for you then come for me Kyle
because ndini ndapedzisira ndasara
neblame," ndakamusendera message
but it didn't deliver. Akadzoka
palunchtime ari down zvekuti haana
kutodya. Hapana akataura naye nekuti
dad vanga vati tisataure naye asi ini
ndaitoti nditaure naye. Ndakaenda
kubedroom kwake ndikawana ari busy
kudrawing her designs.

"Madam," ndakadaro ndichigara


paside pake. "Sten afa," akakaruka
adaro ndikati, "huh?"

"Ndati Sten afaaa."Akadaro achivhara


mabook ake.
"What are you saying Kyle?"
Ndakabvunza zvikanzi, "unonzwa
language ipi iwe? Yesterday Sten was
admitted at Makurira Hospital ndiripo
and tomorrow morning pandaendapo
ndichinoona Grace (her skin doctor)
ndipo pandatonzwa kuti afa. Grace
haazive kuti ndomuziva so anga
achingotaura nyaya in general kuti
akatadza kunwa mapiritsi esick acho
and maARV."

End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma
Written By Rue M
0788357900

Chapter 7

Ropafadzo

Kunyangwe ndanga ndisingachamude


Sten ndakabatikana nerufu rwake.
Pandakazofunga kamwana kake kaive
mudumbu zvakabva zvaita worse.
"Sten aimwa mapiritsi there must be
another reason for his death Kyle,"
ndakadaro ndarangarira kuti musi
waaive andiona aitotaura aitotaura
zvekuchipatara and anga asina
kudzungaira zvekurega kunwa
mapiritsi. Munhu aive atondiudza kuti
ndiende kuchipatara ndinopihwa
mapiritsi at the earliest ozokundikana
kunwa iye. "Izvozvo handizozive
zvangu asi ndiri kungokuudza
zvandanzwa.

"Ropa!" Ndakangosimuka ndisina


kudavira ndanzwa Nashe achindidana
nekuti aizoudza dad kuti ndataura
naKyle. "Yes bro," ndakadaro ndave
padhuze naye zvikanzi, "we need to
talk." Akataura ari serious ndikashaya
kuti imhosva ipi imwe yandapara.
Takenda kuroom kwangu akamira
akazembera dressing table akandipa
sign yekuti ndigare pabed. Ndakagara
maziso ari paari zvikanzi, "i want you
to answer me honestly right?"
Ndakabvuma nekugutsirira musoro
zvikanzi, "good girl."

"Kubva zvawakauudza Sten


zvenhumbu akairamba achiti you had
sex once this and that, there is a time
yamakamboita semakuwirira after that.
Don't give me that look ndakazviona
muphone mako. My question is that
wakazorara naye after waziva kuti une
nhumbu?" Akadaro ndikashaya kuti
apindwa nei anondibvunza nyaya
dzakadai. Dai ndaive Kyle ndaitoti,
"wave tete vangu here iwe?" Uku vana
tete vaivepo vaingove vemazita nekuti
zvavakatiraira paive pasina so Nashe
was not to be blamed. "Ndakarara naye
ka1 ikako," ndakapindura akati, "be
honest."

"Ndiri kutorevesa," ndakadaro


zvikanzi, "I'm asking this because
makuseni ndaenda kuRhodene
ndichida kunoona Sten wako kuti
ndimudzidzise lesson but aita luck
rekukasira kufa. Handina kuzototaura
zvandafambira pandangoudzwa kuti
ashaya. I went straight to Makurira
Hospital kwaafira ndichida kunzwa kuti
afa nei and i was shocked kuti afa
neAIDS so iwewe semunhu akarara
naye I'm concerned kuti unogona
unayo."

"Ndozvaakatondiudzawo kuti ndinayo


though asingazive kuti akaiwana rini
and kunani so ndakaudza Kyle tikaita
maself test and ndanga ndiri negative,"
ndakadaro zvikanzi, "unofanira kuenda
kuchipatara still Ropa."

"Yeah, Kyle told me handiti pathree


months after exposure ndipo
pandinonyatsowana maresults
echokwadi?" I asked and he agreed by
nodding his head. "Ndozvega zvanga
ndichida kubvunza because it won't be
fair kukuendesa kuna Leon wave
nechirwere." Akataura achisimuka
ndokuzoti, "how's Kyle?"

"Umm i don't know," i replied zvikanzi,


"stop lying wanga uri kuroom kwake."

"I was there but i don't know how she


is anga ari busy nemadesign ake," i
added.

"When is her fashion show?" He asked


and i replied, "next month in Pretoria."

"I will go check on her," aidaro apa


ndiye aive number one supporter
wadad kuti hakuna ari kutaura naKyle.
Ndakarara ndega ndave kuchema Sten
wangu nekuti kuchema pamberi
pevanhu vaitondiona sedzisimo. As i
was busy crying i received a call from
Mai Ropa. "Hello mainini," vakadaro
ndavadavira zvakanaka ndikati, "uite
mushe iwe Mai Ropa."

"Ko hasha ndedzei manje?"


Akabvunza akachangamuka asingaite
semunhu afirwa. "Handidi
zvekunyanganzwa," i replied.

"Ehezve wakuda kucelebrater victory


nekuti murume wangu afa neAIDS
dzako?" Handina kuvadavira ndikakata
phone nekutoidzima. Zvavaive
nekahunhu kavo zvaisaenderana
zvacho. She was very learned asi vaita
semunhu asina kumbotsika pachikoro.
Ndakabuda muroom mangu
ndakuenda kune vamwe. Everything
was boring zvinhu zvichiita sezviri
paslow motion.

"Honai mwanakomana wenyu kuti


anga aripi nguva yese," vakadaro Mai
Muku vaona Nashe achibuda muroom
maKyle vari vese. "Ihasha dzenhema
dad vake ndavaona vachituma munhu
nechikafu kuroom kwake apa vanga
vachiti haadye kana kutaura nemunhu
kusvika akumbira ruregerero,"
vakadaro mama and we all laughed.
Vakabuda vari two though vasina
kutaura kwavaienda takangoona
nebasket kuti vaienda kugarden.
Pasina ten minutes vabuda Mai Ropa
vakasvika pamuzinda and as always
hakuna munhu aingosvika zvisina
notice so mukomana aive kugate
akatouya achitaura kuti kune mukadzi
ari kugate ari kuzviti Mai Ropa kana
mukadzi waSten ari kuda kupinda.

"Endako naAnashe," kwaibvirwa ini


namama. Dai aive Nashe zvaitove
Anashe aitove asingaite zvenoise and
anga ari soft zvekuti kudealer
nemukadzi waSten yaive problem.
Sezvineiwo ndakanomutora tikaenda
tese kugate. "Makadii henyu?"
Akavakwazisa zvikanzi, "ndiri kuda
kupindawoka?"
"Are you asking or demanding?"
Akabvunza ari calm zvikanzi, "i don't
but ndiri kuda kupinda."

"Hatishande tichidaro pano mother,


normal people live here so you've to
revise your manners if you want to get
in," ndakadaro ndaona kuti ave kuda
kutondijairira. "Normal people? Hure
rakaita sewe!" Vakadaro zvikanzi
naAnashe, "chamanyatsofambira pano
chii?" Akabvunza achivhura gate
ndikafunga kuti aida kuvapinza mukati
but aida kuti isu tibude panze kuti
vakomana vepagate vasatinzwe.

"Ndauya kuzoudza vanhu mabasa


anoitwa nemwanasikana wamambo
tione kuti muchanyarira pai,"
ndakapererwa adaro ndikati munhu
kutosiya mariro kumba kwake
achindivinga. "Mugowanei pazviri?"
Akabvunza Anashe vakati, "hapana asi
kungokukaurisai chete."

"Makanonoka kuzviita mother instead


of chasing after your husband's
girlfriends mungadai muchitiza
nehupenyu hwenyu," akadaro Anashe
ndikashaya kuti airevei ivowo vakatoti,
"what do you mean?"

"Do i have to tell you that?" He asked


and Mai Ropa looked surprised.

"What's going on here?" Vanogona


zvekutaura vakabva vasvika vachibva
kugarden. "Deal with her i don't have
time for this nonsense," akataura
akupinda mugate Anashe.
Pandakaudza Nashe zvavaive vavinga
akabva ati, "what more do you want
from us? You killed your husband and
you're now after Ropa."

"Did she kill Sten?" Ndakabvunza


Nashe zvikanzi, "yes she did that's
why asiri kukwanisa kugara kumba
kwake achichema murume. Munhu
afirwa anowanepi energy yekuita
zvinhu zvisina basa."

"How? Inga makati iSTI?" I asked.


"I will tell you," said Nashe.

"This lady standing in front of you was


devastated when she found out that
her husband was cheating and
akapihwa chirwere so aida revenge
kuna Sten. Akatora mapiritsi aSten ese
akamakanga," akadaro Kyle ndikati,
"how?"

"I don't know exactly but maid wake


akati akamuona achiisa mapiritsi
mupani ndokuisa pastove
achimashandura semaputi
ndokuzodzosera muchigaba chawo so
mwedzi nehalf Sten anga achinwa
mapiritsi asingashande that's why his
health was deteriorating everyday till
azofa."

Kyle akazosara opedza kutaura Mai


Ropa varova pasi. "She's not at fault
though," ndakadaro nekuti i could
relate to her vengeance. Musatambe
nekuti wakavimbika pamwe
nekuperera pamunhu ozongokupa
chirwere.

"Ehe revenge yake aita so pauri ari


kudei. We all can relate to her pain
that's why tisina kuinvolver mapurisa
mukati but akaita zvekufarira kuuya
pano tinomunyudza

End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 8

Ropafadzo
Nashe akazophonera Mai Ropa
achivaudza kuti kana vachida nyaya
yavo isaende kure vanofanira
kudeleter maphotos angu nemurume
wavo. Handizivi kuti vakazobvumirana
kuti chii nekuti ndakazodanwa
namama vachiti machembere aida
kutaura neni sezvo ndanga ndave
pedyo nekunoroorwa. Ndaisada
kutaura navo because machembere
aiona kuti ndine nhumbu,
munongoziva zvinoita vanhu vakuru.
Iyo nhumbu yacho ndanga ndisati
ndaiwanira plan asi ndaisada kuti
izivikanwe.
"Nhaiwe ndodii unoziva machembere
ayo anoonesesa?" Ndakabvunza Kyle
zvikanzi, "you're not serious Ropa
ndaida kutaura nyaya iyi nezuro but
wakati ndinyarare ndikafunga kuti une
better plan," akataura ari serious asi
zvaisaita kuti nditaure chokwadi
chinenge ichocho. "Ndichataura
namama," akazodaro ndave kuda
kubuda muroom make ndaona kuti
hapana chekugarira. Aitove nemamood
musi wacho Kyle ndikatoshaya ichiri
nyaya yembama.

"Thanks," ndakadaro ndichibuda


ndikazonzwa munhu akunditevera.
"Varipi mama?" Akabvunza
ndikangoenda naye kwaive namama. "I
heard madana vanhu vekuraira Ropa?"
She said zvikanzi namama, "ehe
wanga uchida kumuraira iwe?" Mama
vanga vachiri kunyepera
kumutsamwira. "Mama you're now
pressurizing her, marriage yavo haisi
love marriageka yekuti anofanirwa
kurairwa zvekuchengetedza murume
and vanaLeon vari modern so izvi
zvekuraira hazvina kana basa,"
ndakapererwa ndakamutarisa
ndikashaya kuti aida kuzama kutaura
chii. Who convince someone like that?

"You're not making any sense Kyle,"


vakadaro and added, "kana iwe
usingade kurairwa unorega kuenda
hako sezvo usiri kuroorwa. Ropa
musangofurirane zvinhu zvisina basa
naKyle asina chaanoziva."

"Mama you don't understand," she


said zvikanzi, "chii
chandisinganzwisise apa Kyle?"

"Mama mukabvumira machembere kuti


araire Ropa moziva vanotanga
kumutarisa tarisa kuside voona asiri
virgin and akabvisa nhumbu
kuswerazuro. Zvinoswera zvazara
nyika yese," when Kyle said that mama
vakabva vati, "apa tanga tatotuma
munhu kunovadana. I don't know why
it skipped my mind."

"Hazvina basa vakauya handiti


hamuna kutaura main reason yamuri
kuvadanira here," i said. That was
decided kuti handionane
nemachembere pavakazosvika pamba
hameno kuti vakanyeperwa kuti chii
namama. Everything was finally falling
into place expect nyaya yenhumbu.
Manheru pakaita family meeting dad
vachizivisa vanhu kuti ndakabvuma
kuroorwa naLeon.

"Taizviziva kuti kuda kungotinetsa


hedu asi muchatoroodza venyu vana
kuti mombe dziwande mudanga,"
vakataurira pasi mainini. "If that was
the case tingadai tisina kumbokudanai
musiuno pano taizongokuudzai
akuroorwa asi taida kuita zvinhu
semumhuri," replied Nashe.

"Chakazotadzisa kuti musarudze


Tapiwa chii anga abvuma?"
Vakabvunza but Kyle anga asina
munhu mukuru waaive audza kuti
Tapiwa anoda Leon nekuti kubva dad
vasati vataura kuti ndave kuroorwa
naLeon, Kyle aive agara andiudza kuti
kuroorwa nabamukuru was the best
solution.

"Akaudza ani Tapiwa?" Akabvunza


Nashe ndokubva azvidavirira achiti,
"akandiudza but Ropa anga atobvuma
so i didn't feel necessary to tell you."
Vanhu vakangomutarisa pasina aitaura
akati, "what?"
"Inhema Ropa akatozobvuma anzwa
kuti ini ndabvuma agara akandivenga,"
ndiTapiwawo akadaro zvikanzi naKyle,
"atove mafungiro ako iwayo." Meeting
yacho haina kuzopera zvakanaka
vanhu vave kuudzana magaramoyo asi
izvozvo hazvina kutadzisa kuti shoko
risvike kwaChika. Husiku hwese
handina kumborara ndichifunga kuti
bamukuru vaifungei neni.
Ndakamboda kuvatanga paphone
ndaona munhu ari online after a long
time but ndakashaya mashoko
ekuvatanga nawo kusvika ndabatwa
nehope.

The following morning ndakasira


kumuka ndamutswa nephone
yairinger. Pandakaona vari bamukuru
vaphoner ndakatoziva kuti shoko
rakasvika. Taive tapedzisira kuonana
nekutaura pamanyaradzo atete.
"Hello," i picked up the calling feeling
nervous.

"How are you?" Vakadaro vari low


ndikati, "I'm better and you?"
Ndakavanzwa vachitura mafemo
ndokuzoti, "i heard you want to be my
second wife." That statement alone
rakandipedza simba semunhu amukira
kumunda. "Second wife" meaning tete
vanga vachiri kuexister mulife mavo
though vanga vatove five months
vashaika. "Hello?" Vakadaro ndikati,
"hello."

"Ndati ndanzwa kuti muri kuda kuita


second wife wangu," he repeated
ndikati, "yeah," ndisiri sure.

"You're sounding like you're not sure


about it?" Vakadaro ndikati, "mhaa."
Ndaive ndabatwa neconfusion ini.
"Kasi muri kumanikidzwa here
mainini?" Ndakakata phone vadaro
nekuti ndanga ndisisina zvekutaura.
Ndainzwa kuzvinyarira asi ndaibva
ndakasira kurangarira kuti yanga
isiriwo mhosva yangu kuti Sten
akanditsotsa kana kuti ivo vakafirwa.
Ndakanzwa kutsva ndikanogeza
ndikawana phone ine three missed call
from Leon. Ndakazophoner back
ndapedza kupfeka but that time havana
kutaura zvakawanda kunze kwekuti,
"meet at Las Vegas Hotel by 12 sharp."

"Leon called me," ndakakaruka


ndadaro tiri pabreakfast. "And?"
Anashe said ndokubva ndangotaura
zvaaive andiudza. Ndakangonzi
nditaure naye zvakanaka nekuti anga
achiri disturbed nerufu rwatete so
aigona kutaura zvinondibhowa
ndikarasawo muromo.

"Even Milton called," akadarowo Kyle


tapedza kutaura zvaLeon. Milton aive
akamuintroducer a month ago. We all
laughed tichifunga kuti majokes
zvikanzi, "i'm serious mhani."

"Ati chii?" Maidei akabvunza zvikanzi,


"ihalf brother yaMai Ropa?" Everyone
was surprised when she said that. "I
didn't know that iye akangondiudza
kuti ari kuuya kuno ndikatoti kuzodii
ndipo paakati ari kuenda kumariro
emukwasha wake pandakazoramba
ndichibvunzisisa ndipo pandazoziva
kuti aibvira Sten but handina kuda
kumuudza kuti ndomuziva.
Akazophoner manheru akandibvunza
zvaRopa naSten. Haana kuda kunzwa
the other side of the story
achingoblamer Ropa while i was
defending her kusvika azoti i must
choose between Ropa and him."

"Akakwana?" Vakabvunza mama


zvikanzi, "ndakatomubvunzawo
izvozvo akatobvuma kuti akakwana."

"Ndoona yaingove way yekuda


kundiramba because there was no way
i was going to choose him over Ropa
chero ndichimuda," she said with teary
eyes and i felt guilty. Ndainyatsoziva
madirwo aaitwa mucoloured iyeye so it
was obvious kuti airwadziwa Kyle.

"Hey he didn't deserve you after all,"


aive mashoko enyaradzo kubva kuna
Anashe akangopukuta misodzi achiti,
"i know."
"It's now clear that love is not my cup
of tea. Right now i just need to focus
on my carrier," akadaro achisimuka
zvikanzi naNashe, "what are you
saying Tinashe ndotaura naye Milton."
Akakasira kupindura Kyle achiti, "you
won't. Dai anga ari umwe munhu better
but ihama yaMai Ropa and chero dai
asina kutaura zvaRopa hama dzake
dzaizongozvitaura, you know how in-
laws behave. Above all my pride is
bigger than my feelings so we won't be
in a position to beg him," i almost
laughed adaro nekuti ndaitoziva kuti
achazvitaura because her ego would
be deeply hurt akanyengerera
mukomana.
After breakfast ndakagadzirira kuenda
kunoona Leon and by 12 ndanga
ndasvika in fact takasvikirana because
ndakamuona achiparker mota yake
ndichangosvika paparking. Ndaisiti
ndikamuona tete vachiripo
ndotomumhanyira apa ndaive
ndotadza kana kusimudza gumbo kuti
ndifambe tisangane. Iye anenge
akatozviona kuti shasha yanamira
pasame position ndikaona ave kuuya
pandaive.

"Nenhamoka," akadaro achindibata


ruoko semunhu ari kubata maoko
ndikati, "dzani?"
"I heard that your blesser passed
away," ndakapererwa adaro ndikatadza
kusimudza rurimi kuti ndimupindure.

"How did you manage to move on so


soon? Haasati atovigwa and here
you're ready to be my wife,"
ndakanzwa kuzarirwa adaro.

End of chapter
[5/29, 8:27 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900
Chapter 9

Ropafadzo

"He's not my blesser,"


ndakazokwanisa kutaura iye ndokubva
ati, "you're right but he was.Now he's
no more," handina kuda kuramba
ndichisimukana naye ndokubva
ndanyarara. Akatsvaga pekugara
ndokubva azoorder chikafu but it was
quite obvious kuti hapana aichidya.
"Mainini i called you here kuti
ndikuudzei kuti handide kuroora
especially you," akangotanga nyaya
yake ini rambei semunhu aisava
nezvekutaura. "Won't you say
something?" Akadaro aona
ndangomudzvokora. "What am i
supposed to say?"
Ndakatomubvunzawo nekuti
zvekutaura ndanga ndisina.

"Why muchida kuroorwa neni?"


Vakabvunza bamukuru vangu vari
calm zvavo ndikati, "because dad said
so."
"So in other words muri
kutomanikidzwa?" Ndaisamanikidzwa
nadad asi mwana wechitunha aive
mudumbu ndiye aive ave kundiitisa.
"No," ndakadavira zvikanzi, "what are
you saying?"

"I want to settle down," i replied


ndichibaya baya phone yanga iri off.
"Why with me?" Mibvunzo yacho
kunge ndave painterview. Nguva
yakadai mweya wekufema unotanga
kuita mushoma. "Hello," vakadaro
vachiwaver ruoko pamberi pangu. "Ini
handisi ndakadecider izvi imwe
mibvunzo inoda muchibvunza dad,"
ndakadaro and he faked a smile. "Dad
ndivo vandiri kuroora here?" He asked
ndikati, "hamusi kuroora dad but dad
ndivo vakaona zvakakodzera kuti
ndiroorwe nemi and ini ndikabvuma
nekuti ndaitove nezvikonzero zvangu."

"Zvikonzero zvenyu zvipi?"


Vakabvunza ndikati, "i want to settle
down secondly, i can never refuse my
dad."

"Go on," akadaro ndambomira and i


continued, "ndakuda kuroorwa and I'm
doing you a favor," akaseka ndadaro.
"Why can't you just be straight forward
kuti wanga wagara uchindidana since
Makanaka achiri mupenyu and apa
wabva wati zvakunakira," he said.
"Hold on Mister, i never loved and I'm
not going to fall in love with you so
mirai kufunga zvisizvo. Above all I'm
not dying to be your wife," ndakataura
ndichisimuka nekuti zvekudzikisirwa
ndaisada. He didn't say anything
kusvika ndasvika kumota yangu
ndikaona munhu ave kunditevera.
"Handina kuuya kuti tizotukana
mainini," vakadaro but i was not in the
mood to listen to him. "What do you
think of yourself huh?" Ndakabvunza
ndatsamwa and added, "ndine zuva
randakambokuratidzirai kuti ndokudai
inini and even tete varipo
ndakambotsika pamba penyu musina
kundidana here? Kunyangwe paphone
aitanga umwe ndiyani?" Ndakapedzisa
nekuridza tsamwa ndichiti, "handidi
zvekujairirwa kana musingade
zvekuroora udzai mai vamuri kushaisa
hope not me." Ndaive ndakuda
kupinda mumota ndobva vandidhonza.
"We're not done yet!" Kutotaura
nehasha ndikati, "you and who
because I'm done?"

"How dramatic!" He shouted ndikati,


"leave my hand!"

"Ndanga ndichida kuti titaurirane


sevanhu vakuru but i was wrong,
hamushandike nemi..." Asati apedza
kutaura ndakamusundira kure
ndokupinda mumota yangu ndichirova
pasi. Ndaimuona nepaview mirror
akangotarisa mota yangu
nechemumoyo ndikati, "whatever."
Munhu kuda kutoonererwa nefirwa as
if ndiye aive atanga kufirwa nemukadzi
nemwana. Ndaiti ndikafunga zvaaive
ataura ndoridza tsamwa.

"I'm sorry if I've offended you but


ndanga ndichida kungokuonesai kuti
i'm not ready for a new relationship,"
vakasender message without thinking
and i replied, "thanks for showing your
true colors. It's good that tete
Makanaka is no more because she
didn't deserve a demon like you and I'd
rather die than kuroorwa nemi."

"So much hatred?" Ndakazvibvunza


ndichangosender message ndokubva
ndafunga kuidzima isati yaticker and i
did so but inenge yaive yatosvika
nekuti ndakaona imwe message yakati,
"mashoko ako unomamirira?"

"Chaizvo," i replied back. Paphone


zvagara munhu anowana zvivindi
zvisina basa. "Cool," ndakaona vaisa
imwe message ndikati, "don't call me
again," but it seems ndakablockewa
message isati yasvika nekuti
yakazongoticker kaone, about
neprofile ndokubva zvatobva.
"Thanks," i said blocking him back.

"Munhu wepi?" Ndakadaro ndichiisa


phone pasi pasina kana masecond
ndobva ndatsika munhu. "Hope you're
not dead," ndakadaro ndichibuda
mumota fast kuti ndione munhu
wacho. "Jesus!" Ndakascreamer
ndaona kuti ndaive ndadhuma munhu
ane nhumbu apa ropa raive rakubuda
rakandipusisa zvekuti ndakambofunga
kutiza but ndaizotya kuti anogona
kusara akafa. Ndakatora phone yangu
ndikati ndiphonere vanhu kumba.

Phone ichingodavirwa ndakatanga


kuti, "Nashe ndatsika munhu
ndichibva paLas Vegas i don't what to
do."

"What!" He replied but ndakatarisa


phone ndichida kuona kuti ndiyani
wandaive ndaphonera nekuti raisava
voice raNashe wanei ndiLeon. "I
wanted to call my brother," ndakadaro
ndakukata phone and started
searching for Nashe's number.
Ndakaenda pane mukadzi uya ndichida
kumubetsera kumuka vanhu vasati
vawanda nekuti ndaigona kutorohwa
chaiko munongoziva zvinoita vanhu.
"Mhaa!" Ndakadaro ndaona mukadzi
uya angoti rabada. Phone yandaive
ndakaisa pakati peshoulder nenzeve
ndakamirira kuti Nashe adavire
yakabva yadonha ndokupanyika.
Ndakatotanga kuchema ndichikumbira
kuti vanhu vandibatsire kumuuisa
mumota.
"You still want to drive!"
Ndakazotoona kuti munhu aive
andibetsera kuisa that lady mumota
anga ari Leon ndanzwa voice rake.
"Ndosara here?" Ndakabvunza
ndichinzwisa tsitsi ndichibva
padriver's seat ndichitoburuka mota.
"Ini manje ndiende naye kuchipatara
iwe wozvisarira? Gara uko!" Akadaro
nehasha ndokuzogara paside pake.

"Handide kusungwa ini," ndakadaro


ndichichema zvikanzi, "handisi
mupurisa ini." Ndakatora phone yake
ndisina kumukumbira ndokuphonera
dad nekuti ndaiziva number dzavo
naKyle nemusoro chete and kuti
ndiphonere Kyle zvaisaita.
"NdiRopa dad," ndakadaro vati,
"hello?'

"Zvaunenge uri kuchema wani?"


Vakabvunza ndikati, "d-dad ndatsika
munhu ane nhumbu."

"Ropafadzo?" He said in disbelief


ndokuzoti, "so where are you now?"

"Tiri kutoenda kuMasvingo General


Hospital," i replied zvikanzi, "okay
tosvikako manje manje."

"Ko ndikasungwa dad?" Ndakadaro


Leon akanditorera phone akatanga
kutaura navo iye. "Don't worry Sir i will
handle everything," he ended the call
with that achipa dad vangu assurance
yenhema.

"Inini ndakusara mumota imi mopinda


naye," ndakadaro tasvika pahospital.
"Unoda kutaura too much of which
uchitaura nonsense." Ndakanyarara
ndanzwaro ndokuramba akagara.
Hapana chandaiona chaitika
ndikatozoburitswa mumota naLeon.

"Hanzi chii?" Ndakabvunza zvikanzi,


"nani?

"Nhai veduwe ndiri kubvunza kuti


doctor vati chii?" Ndakataura
ndichimuzungunutsa zvikanzi, "she
didn't make it."

"What was she making?" I asked


ndokubva munhu atanga kufamba
achibva pandiri ndikati, "havana
kubvunza police report?"

"Haukwanise kumbonyarara here


iwe?" Akadaro achisimudza ruoko
rwake ndikazoona kuti aidana vanhu
vekumba. I tried not to pass out
paiudzwa vanhu kuti mukadzi
wandatsika aive afa.

"I didn't kill her," i said because


neniwo i didn't believe kuti ndanga
ndauraya munhu.
End of chapter
[5/29, 8:28 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 10

Ropafadzo
Ndakagara pasi nekupererwa kuti
ndaive ndatouraya munhu nekuda
kwehasha dzisina basa. Nashe
akazondibatsira kusimuka achida
kundiendesa kumota murume
wemukadzi uya ndobva asvika
achingohakana neni. Thankfully vanhu
vakakasira kumubata asati
andisakadza. I was surprised kuona
Leon achibata murume uya collar
achida kumurova. "Don't hit him,"
ndakadaro ndichimubata because the
poor man was in pain.

"Don't touch me Ropa! Chaari


kukurovera chii?" Paakadaro i
wondered if he was pretending or
saying the truth. "She killed my wife!"
That man screamed. "Who killed your
wife Mister? Munhu adhumha mukadzi
wako atiza then Ropa mhosva yake
ndeyekuuya mukadzi wako pano."
Maybe he was saying the truth
because ini ndaive ndisina kuona
chaive chaitika asi kuzongoona munhu
adonha pamberi pemota yangu.
Murume wacho akaita nharo kusvika
Leon ati, "mudhara accident yaitikira a
few metres from Las Vegas so
ukanokumbira kutaridzwa maCCTV
footage yacho you'll see it for yourself
as to who killed your wife." It was now
making sense why Leon anga auya
kuzondibatsira, he was around the
scene.
"How many times do i have to tell that
you mustn't use your phone while
driving?" Vakandidaro dad tichipinda
mumota nekuti ndaive ndanzi ndiende
kumba. "I'm sorry dad," ndakadaro
zvikanzi, "you better be. Tell me dai
panga pasina Leon anga ari padhuze
aona kuti hausi wadhuma munhu
waiita sei? Ungavarairwa nephone
kukanganwa kuti uri kudriver
Ropafadzo?" Ndakatoona kuti
kunyarara kuri nani nekuti
ndikasapindura ndaivawedzera hasha.
Takasvika kumba vanyori neni chete
zvekuti vakasara padiki kuti kana
ndakuda kumuda pamba ndibude
nadriver.
Takasvika pamba vanhu vari worried,
Kyle achingondiona akabva
andimhanyira. "Thank God you're fine.
Do you know how scared we were
when we had that waita accident,"
akadaro achindipa tight hug yekuti i
wondered if she was okay. Hatina
kuzoramba totaura zveaccident sezvo
vanhu vanga vave busy nemarooro
preparations kusatoziva kuti vacho
vavari kuitira zvinhu havachataudzane
chero paphone. Thinking of that
ndakabva ndaona zvakakodzera kuti
ndingomuphonera kekupedzisira
ndichimutenda nekundibatsira kwaaive
aita.
"Chii futi chanetsa?" Akangotanga
nekudaro ndikati, "i just wanted to
thank you for helping me. Thank you
very much Leon," ndakadaro
ndichikata phone. I had called him
Leon for the first that's why
ndakakasira kukata because
ndaisaziva kuti achandipindura kuti
chii. He was going to be my husband
so kuramba ndichiti bamukuru zvanga
zvisingachanyatsoita.

"You're welcome," ndakaona asender


SMS. I felt as if he was in good mood
so ndakafunga zvekutaura naye
zvenhumbu because ndega
ndaisatoziva zvekuita. Kyle aiziva
zvenhumbu aitongodaidzira kuti
ndibvise. "How are you doing?"
Ndakasender message kuna Leon
zvikanzi, "hapana uri kudei?"

"I want to discuss something about


this marriage," ndakasender SMS iya
akatora almost ten minutes kuti
apindure. "Oh i don't have time for that
and i don't want to discuss it because
nothing is in my hands. Munhu
waungatotaura naye ndiMai Chika not
me." Handina kuzomupindura after
reading his SMS. "Satan wemunhu!"
Ndakamutuka asipo ndichiisa phone
yangu pacharger nekuenda kunogeza.

Manheru pataidya Leon neni tisu


taitove nyaya chete. Kyle ndiye
akatozochinja nyaya after receiving a
call. She looked so happy when she
disconnected the call zvekuti munhu
wese aitoda kunzwa afadzwa nei. "I'm
so happy guys," akadaro zvikanzi
namama, "we can see that share the
good news."

"Okay," akadaro achigara pasi and


continued, "i just received a call from
Travis."

"And?" I said zvikanzi, "he told me that


one of the fashion show judge has
been fired," aitaura achimira mira
zvekuwedzera suspense. "The thing is
that vanga vachitsvaga replacement
and vatanga kufunga ini so I'll be
going to London to fullfil my dreams."
That was the best news of the year and
everyone was truly happy expect me. I
was partly happy for her but nguva
yaanga asarudza kuenda yanga
isingaite. What was i going to do
without her?

"Adzingirwei judge anga aripo?" I had


to ask that zvikanzi, "fraud."

"Fraud?" Nashe asked zvikanzi, "yes


anga akatotora mari yemamwe
macontestants achiti anomahwinisa
apa there were three designers
dzaakadyira mari."

"Oh it's such a shame! So madesigner


acho aida kuita zvechitsotsi Ari
kuramba ari pashow or...?" Asked dad
zvikanzi, "it's game over vari
kutodzokera kumba vese vari three
and sezvo show yanga ichangotanga
yave kutangidzwa futi."

"So yave kutangidzwa rini?"


Ndakabvunza zvikanzi, "this Saturday."
Apa yanga iri Wednesday kutoreva kuti
aitoenda kuUK the following day. She
was extremely happy zvekuti
akatokanganwa nezvangu. "It's good
veBest Designers vakakuramba now
you're flying high and they'll regret it,"
ndimama vakadaro ati, "you're right
Mwari aive nereason yekuti
vandirambe imagine dai vakanditora
izvezvi ndiri busy kufondoka mahara."
Best Designers yaive company
yemuno yaive yemafashion designer
especially vaigadzirira hembe vanhu
vemodeling. Kyle paakawana award
yebest designer in Southern Africa
akaenda ikoko achida kunoshanda
navo and vanhu vacho vakamuvharira
panze and it was now obvious kuti
aenda kuUK nothing was going to stop
her from succeeding. Ari judge
achibuda paTV futi.

"This calls for a party!" Anashe


akadaro akabata champagne. Vanhu
vaiti mufaro wawedzerwaka kuti
marooro angu nekuenda kuUK
kwaKyle. Takatozoenda kunorara late
and Kyle aibva pamba the following
day akauya kuzorara neni.

"What have you decided?" Akabvunza


achipinda mujira ndikatoziva kuti
nyaya yatanga."Nothing," i replied
zvikanzi, "i think unofanira kutaura
naLeon. He's very mature and
understanding Ropa, he won't let you
down trust me." He was very
understanding kune vamwe not me. "I
will do so," ndakadaro kuna Kyle chero
ndaiziva kuti hapana zvandinotaura
naye anditi if it's anything regarding
marriage ndotaura namai vake.

"Oh ndanga ndatokanganwa," akadaro


achimuka ndikati, "chii futi?"
"Ndanga ndatokanganwa kutora
mameasurements ako. Just wait and
see gown randinoda kukugadzirira.
Ndoda kutoti riende pafront page of
fashion magazine." Akataura
achinditarisa tarisa body yangu. "I will
make sure ndodzoka kumba
pamuchato wenyu but chero
ndikasadzoka gown rako rinosvika
kuno." Zvine musoro tanga tatosiya
kutaura, Kyle akuplanner zvemuchato
kubva kuchikafu to decoration.

Pakwakachena ndakamuka ndave


ndega Kyle abuda. "Where's Kyle?"
Ndakabvunza Maidei zvikanzi, "aenda
kunoteurirwa nababa."
"Kyle futi," ndakadaro ndichienda
kukitchen. Looking at you would not
imagine kuti anobeliever zvekuti kana
akufamba or achida kuita something
big aitanga ataura nevarikumhepo.
That was a family tradition but Kyle
aizozviwanza. "Maybe that's why her
life is flowing," ndakazodaro
nechemumoyo because Kyle
maproblem chaiwo anga asina
aitoshungurudzwa neangu ake
aitongove emabreak up. Adzoka
akasvikira breakfast ndokubva
anosiiwa naNashe kuairport.

Friday manheru akaphoner achiti


asvika kuLondon and anga akunogara
kumba kwanaTravis kwete kuhotel
sezvanga zvataurwa nevanhu
vekushow kwacho. Travis anga ari
murume resister yaMaidei so zvanga
zvakanaka kuti agare nehama.

On Sunday vanhu vekwaChika


vakauya kumba kumarooro including
Leon. Zvinhu zvese zvakafamba
zvakanaka kusvika Mai Tapiwa
vazongoti, "ko yemadamages haana
kubvisa wani mukwasha wedu?"

"Madamage eyi?" Mai Prim vakakasira


kubvunza. Mai Prim was my biological
mother. Vanga vadaniwa kumarooro
angu and i was surprised kuvaona
vachiuya after 18 good years. Vaive
vandisiya pamuzinda ndine four years
kana kuzomboda kudzoka and there
was a time pandakambowana number
dzavo ndiri kuhigh school
ndikavabvunza kuti sei vaive
vakanganwa kuti vane mwana vakati
hama dzangu dzakaramba kuti vaende
neni kunoroorwa which was true
nekuti pandakabvunza dad kuti
makarambirei kuti mai vangu vaende
neni vakati vaisada kuti ndinogara
nevatorwa and vanga vakaudza mama
kuti vari free kundiona whenever
pavada and vaive free kunditora
pamaholiday but zvese izvozvo
hazvina kuitika. Ndichiri mwana
ndaitoti vakaitira mai vangu hutsinyeka
but when i asked her kuti ndimbouya
kuzovaona kuholiday vaingotsika tsika
kusvika vatochinja number.

"Damages?" Mama asked zvikanzi


naMai Tapiwa, "eheka Mai Nashe
handiti Ropa ane nhumbu here saka
vanofanira kutobvisa mari
yemadamages yekumitisa kwavakaita
mwana ari pano?" Ndakashaya kuti
zvenhumbu vaive vazvinzwepi Mai
Tapiwa apa vanhu vekwaChika vese
vaive vakazara mumba umwe munhu
achitaura zvekuti vabvise mari
yemadamages. Dzimwe hama, i
surrender

End of chapter
Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 11

Ropafadzo

Mumba makaita runyararo pachishaya


anotanga kubvunza kuti zviri kutaurwa
naMai Tapiwa zvabvepi. "Leon
wakatorara naye kare kana wanga
wagara uchidanana naye mukadzi
wako ari mupenyu?" Vakabvunza tete
vaLeon hanzvadzi yababa vake
zvikanzi naLeon, "Ropa haasisina
nhumbu akaita miscarriage and
nhumbu yacho yanga isiri yangu. Mai
vake vakagara vaudza mama kuti Ropa
akaita miscarriage asi imi Mai Tapiwa
muchida kuti tibvise mari yemadamage
tobvisa." Vakashaya pekupinda adaro
zvikanzi, "ndanga ndangoti ndibvunze
nekuti ndakanzwa naKyle kuti ane
nhumbu," vakataura vakatarisa pasi
zvikanzi naLeon, "which Kyle?" Even i
wanted to know kuti akavaudza ndiyani
but vainyepa kuti Kyle ndiye
akavaudza because vanga vagara
vasingapindirane and Kyle anga asina
kahunhu kekunditaura.

"Kyle Tinashe chaiye," vakazodavira


mama vakavatarisa vachidzungudza
musoro. Nyaya yenhumbu yanga
yapera kuvanhu asi ndisati ndawana
chance yekuudza Leon chokwadi.
Zvemuchato zvaive zvanzi zvaizoitwa
pamberi as it important for Leon to
have someone by his side at the
earliest.

"Ndiyani akavaudza kuti wakabvisa


nhumbu?" I was surprised
ndakabvunza namama nekuti
ndaitofunga kuti vakagara vati
ndataura navo Mai Leon. "I thought it's
you," i said packing my clothes in her
handbag. Ndaingotora shoma
dzekusvika ndichipfeka ikoko nekuti
pamba pedu munhu kana aroorwa
ainotanga kutengerwa hembe
nemurume then dzaipfeka dzosara
dzichitorwa nemasibling ake.

"I didn't tell them," vakadaro ndikati,


"so vakanzwa nani?" Before mama
could answer me i received a call from
Kyle. Aibvunza kuti zvese zvafamba
bho ndikangoti, "yes."

"Thank God Mai Tapiwa didn't create a


scene," she said. "What do you
mean?" Ndakabvunza zvikanzi, "i think
pamba pane munhu akavaudza kuti
une nhumbu or she overhead our
conversation nekuti that day
rakashaika Sten vakandidana vachiti
ndiri kutadzisa Tapiwa kuti aroorwe
ndichida kuti Leon akuroore
nenhumbu yako and nekuziva
character yavo ndakataura naMai Leon
ndichivaudza ndichiti mama vazeza. I
told her wakabvisa nhumbu iwewo
chiita plan ubvise or kuudza Leon
chokwadi because hiding the truth
won't solve anything Ropa." Haana
kuzomirira reply ndokubva akata
phone.

"Kyle told them," ndakadaro kuna


mama ndapedza kutaura naKyle and
she breathe a sigh of relief. Sevanhu
vanga vave kuonekana zvekutaura
zvanga zvisingachapere.
Vakatozobuda muroom mangu Mai
Prim vauya vachiti vaidawo kutaura
neni.

"Zvamatokura nhai sisi?" Vakadaro


vachigara pabed ndikangoti, "yeah."
Ndanga ndisina kuvajaira saka nyaya
dzaisatobuda. "Mai Nashe vakakupei?"
She asked and i was like, "kundipei
chei?"

"Wave kunogara nemurume nehama


dzake saka hapana here zvavakakupa
kana kukuitira kuti unogara
pamurume," vaitaurira pasi sevari
kunyeya ndikati, "I'm not getting." Of
course i wasn't getting her. "Ropa ini
pandakanoroorwa Mai vangu
vakanditsvagira mushonga wekuti
ndinogara pamurume, hama dzake
dzindide and vaterere zvandinenge
ndataura."

"Oh i see my mom doesn't believe in


all that," ndakataura ndichipedzisa
kurongedza zvinhu zvangu.
"Ndozviziva asi ndiri kukuudza ini
samai nyakubereka munhu
haangoroorwe asina chaakabata
havasi vese vanofara nekuti
waroorwa." Pavakadaro ndakabva
ndamira zvandaiita ndikati,
"ndanzwisisa zvamuri kutaura but
handide kushandisa mushonga kuti
ndidiwe, i believe in praying to the
Almighty for whatever i want. Now i
have to go." Ndakataura
ndichisimudza handbag ndichienda
kumota kwaive nanatete. Vanhu
vekwanaLeon vaive vatotungamira
kuHarare kare ini ndanga ndanzi
ndotevera nanatete ndosvika
ndichipembererwa zvechiroora
zvengoitwa kaone zvopera.

On our way to Harare nzveve dzaiita


sedzichaputika nemabedroom
teaching asi zvese hazvimbogara
mumusoro nekuda
kwekushungurudzwa nenhumbu
yaSten. Takasvika kuHarare kwasviba
ndokutotanga kuita chiroora kusvika
ndapinda mumba nekuzovhura face.
Vanhu vese vaifara kunze kwedu
varidzi remarriage. Leon
pandakatanga kupinda mumba ndaive
ndamuona akatsikitsira paphone yake
paakazongondiona ndokubva atoenda
upstairs to his bedroom i guess.

It was great that vanatete


vakakumbirisa kurara neni
vachindiraira kekupedzisira nekuti dai
ndakanorara naLeon i don't know chii
chaizoitika first day. Vanatete
vakatozozorora kutaura kuma2am
vakuti vakurara ini pandakati ndirare
ndakabva ndaona message yaLeon
yakanzi, "unblock me kuwhatsApp we
need to talk." Ndakangoita sekudaro
without replying.

"Makorokoto mainini," akasender


message pawhatsApp ndikati, "ndeedu
tese." Ndakaramba ndakabata phone
ndakamirira kunzwa zvaida kutaura
zvikanzi, "udza hama yako kuti
handina mari yekutenga those
designer clothes dzepamuchato and
hatisi kuita grand wedding chakakosha
icertificate zvekuti tomorrow morning
togona kutosigner marriage certificate
tikatochata." Ndakaseka ndisingade
after reading his message ndikati, "aita
sei Kyle?" I was sure kuti anga ataura
naye regarding dress code
yepamuchato.

"Phone yangu yakutofreezer


nemaphoto aari kundisendera," he
replied. "Chingomuudzaka kuti
asakusendere or block her
zvawajaira." Ndakadaro akati, "une
pamuromo handiti manje ndinoda
kuona kuti hembe dzaari kugadzira
dzichapfekwa nani?"

"Mhosva yaKyle iri papi?"


Ndakabvunza zvikanzi, "ihama yako
ndipo pane mhosva yake. "

"Fine i will forward our conversation to


her azvinzwire asiye kugadzira hembe
dzako," ndakadaro ndakubva offline
ndichida kurara nekuti in few hours
ndaizomuka ndakutsvaira chivanze
and Leon aisatova nehope achitsvaga
munhu wekunetsawo. Handina kurara
zvinoendepi ndikamutswa nanatete
vachiti nditsvaire. Kuchiedza
takapedzisa chiroora ndokubva vana
tete vaenda sare ndave ndega paChika.

Leon ndaive ndisina kumuona kubva


ndichimuka and pandakazoenda
kubedroom kwedu ndakaona asiko and
hana yangu yakarova ndapinda
mubedroom make. Kutonzwa vhudzi
raive mumabraid richisimuka nefear.
Carpet yanga iri mubedroom yanga ine
face yatete Maka. Kumadziro kune
maphoto avo nemwana. Kutarisa
kuside waingovaona. Mapillow case
anga ane maface avo. Ndakakaruka
ndabudamo ndichimhanya ndokubva
ndadhumhana naMai Leon.

"Are you okay?" Vakadaro


vachindigamha ndokubva
ndazozvidzikamisa ndichimira ndega.
"It's impossible for Leon to move on
mama," ndakadaro zvikanzi, "why?
What are you saying?" Vakabvunza
vatove worried ndikati,"ndabva
mubedroom izvezvi makazara maphoto
atete and as long achiramba
akakomberedzwa navo like that it's
impossible for him to accept me. I
don't have problem nemaphoto atete
but they're just too much kubva
kumasheet chaiko ane maphoto avo.
Listen ndakumbirawo kuchinja room
and those sheets if possible,"
ndakadaro.

"Waenda kuroom ipi Ropa because


kuswera nezuro Aliyah(Leon's sister)
was here akatobvisa zvinhu muroom
yaishandisa akaisa new property for
you guys because we know kuti
hazviite urare pasame bed pairara
umwe mukadzi. Room takatochinjirawo
for Leon's benefit and that room was
decorated according to your taste.
Kyle told me that your favorite colors
are blue and white."

"Handei munoona i guess Leon


achinja futi," ndakadaro ndichivabata
ruoko tichienda tese kubedroom
kwacho nekuti zvaitaura ndanga
ndisingazvione. Takapinda
mubedroom muya zvikanzi, "are you
sure kuti wapinda muno or wanga
waenda kuold bedroom yake because
hamuna kana photo raMaka."

"Huh?" Vakandishamisa nekuti ini


ndaitomaona and aiita achiwedzera
kuwanda kumadziro. "Look at the
wall?" Ndakadaro zvikanzi, "we paint
that wall blue for you."

"I can only see tete Maka there,"


ndakadaro ndichienda kuseri kwavo
nekuti ndaive ndakutya kuti
zvandaiona nezvaitaura zvanga
zvasiyana.

End of chapter

[5/29, 8:29 PM] Rue M:


https://chat.whatsapp.com/J73y00zCnF
gEJv6ssVwx1D

Dilemma

Written By Rue M
0788357900
Chapter 12

Ropafadzo

Takabuda mubedroom muya tikaenda


kusitting room. Ndaive
ndisingachatofeme zvakanaka nekuda
kwefear. "Have some water," vakadaro
vamwene vachinditambidza mvura
yekumwa. Ndakangoimwa yese fast
chero ndaisada as i wasn't thinking
straight. "Calm down Ropa," vakadaro
vachigara paside pangu.

"Jesus!" Ndakajumber ndichiscreamer


ndanzwa munhu andibata pashoulder
ndikangofunga kuti nditete Maka.
"What's wrong with her?" Akabvunza
achiuya kwandiri ari Leon ndokuzotura
mafemo. Ndaive ndakutotya
kuswedera padhuze naye, i don't know
why. Ndakaenda kuseri kwamai vake
akati, "kwakanaka?"

"She's terrified Leon," vakadaro mama


iye akaita seakuswedera pandiri
ndokumuti, "stop right there!"
Ndakataura ndichisimudza cushion
kuti ndimuteme but akaramba achiuya
padhuze neni ndokubva ndatotiza
ndichienda kukitchen. Ndakasvika
ndikagezera kumeso pasink
yemukitchen ndisina zvanfaifunga zviri
straight. "What's wrong with me?"
Ndakazvibvunza because ndanga
ndisingachanzwisise zvandaiita.

In no time mhuri yese yanga yazara


mukitchen kunze kwadad vaLeon and
that ndanga ndatove calm kushaya kuti
mweyai wanga wandibata. "Ropa?"
Akandidana achiita kakutya kuswedera
padhuze neni Leon ndikati, "yes."

"I need some water?" Ndakadaro


ndichivhura fridge ndokutora one litre
yemvura kwakunwa yese. "Did you
have your breakfast?" Akabvunza
Leon akutora bottle drink yemvura.
Ndakadzungudza musoro nekuti paive
padya vamwe i was busy. "Maybe
she's hungry," akadaro and i faked a
smile. "Sit here," akadaro
andidhonzera kitchen chair ndokugara
chinyarare.

"Unowanzodyei makuseni?"
Akabvunza achilighter stove ndikati,
"anything." Ndichingopedza kudaro i
started feeling nauseous. "Where's the
bathroom?" Ndakadaro ndasimuka
nekuti ndaisada kuti vanhu vaone kuti
something wrong and i was about to
vomit. "There's a bathroom attached to
our bedroom," Leon replied.
"No way! I'm not going there," i replied
ndasimuka and trying to hold my
breath kuitira kuti smell yemukitchen
isarambe ichisvibisa moyo wangu.
"Panext peroom yamakarara nezuro
pane toilet," replied Natasha (maiguru
vaLeon, mukadzi webrother yake
Liam).

"Thank you," ndakadaro ndichibuda


ndokumhanya kunorutsa kusvika
ndanzwa kuti ndave empty
ndokuzogeza muromo nemouth wash
ndikadzokera kukitchen. "Don't tell kuti
wakaudza Kyle zvandaitaura
paphone," akadaro ndapinda
mukitchen Leon.
"Umm handiti wakati ndimuudze," i
said jokingly ndichigara pasi zvikanzi,
"you can't take jokes."

"Anga ari majokes here aya?" I replied


zvikanzi, "have your breakfast first."
Akataura achindiserver chikafu.

"Oh love is in air," Liam akapinda


mukitchen achidaro zvikanzi naLeon,
"uchaenda kubasa nguvai iwe?"
Everyone laughed expect the two of
us. Vaiseka kuti anzvenga kutaura
zvelove. Hameno kana vaifunga
zvelove but i could see that he was
doing that for the sake of humanity
kwete atove murudo.
"Kubasa ndoenda kana ndabikirawo
Natty?" Liam said jokingly zvikanzi
naLeon, "ndokumbirawo uvhure
muromo udye."

"I can eat on my o..." Handina


kuzopedzisa kutaura ndaiswa spoon
yaive nemapotato mumuromo. Apa
aive ari mashed as if ari kudyiwa
nemwana mucheche. I didn't expect
him to feed me especially pamberi
pemunhu wese.

"Leon let it be ndodya ndega,"


ndakadaro ndichizama kutora plate
yacho zvikanzi, "tibvire uko unoda
kuzotifambisa mbiri yekuti taikunyima
chikafu. Do you think your dad and
your brothers will space us vakanzwa
kuti wakudya breakfast na11am?"

"Leon!" We heard his father's voice


calling him. "Ari kuno!" Her mother
replied.

"Oh?" Vakadaro vari surprised vapinda


mukitchen and i could see the glow on
his face thinking mwana wavo ave
kudzokedzana. Maybe he was trying to
move on but nyaya yangu yenhumbu
ndiyo yanga ichazodzosera zvinhu
kumasure if he wanted to move on.

"You wanted to talk to me?" Vakadaro


dad vake zvikanzi, "yes. Actually it's
now impossible kuti ndiswere pamba
nemunhu uyu ndakuda kudzokera
kubasa," that was extremely great
nekuti neniwo ndaisada kuswera naye.

"That's great news my man," vakadaro


vachimurova shoulder dad vake.
"Tozotaura ndadzoka ndine meeting
nemainvestor, take care," vakataura
vachitora mvura mufridge
ndokutobuda.

"Wanga uchiti Kyle ati chii?"


Ndakazobvunza zvaKyle zvandaive
ndakanganwa. "She's not picking up
my calls, i wanted to ask her about
your dietary."

"Maybe she's busy handina


kumbomuudza ini," i replied. "Thanks
but hatisi kuzoita grand wedding,"
akadaro achiisa maplate musink. "Why
not?" Mama asked ndikati, "hameno
nhai aitoti tiri kutosigner marriage
certificate nhasi."

"Ropafadzo?" He said ndikati, "what?"

"Mama henyu moziva how much


designer clothes cost and especially
designer anenge Kyle anotodhura and
for the past six months ndanga
ndisingashande so mari yekutenga
gown rinogona kutenga imba apa
richipfekwa one day handina," akadaro
ndikati, "hold on.kyle is my sister and
she's doing that for free."
"Is that so?" He asked.

"Yes," i replied.

"I Leon Chika don't survive on


charity," akadaro ndikati, "hey! Hey!
It's not charity you may take it as a
wedding gift but if you feel it's charity
no problem, imi vekwaChika
munogona kusonera hembe dzenyu
then us topfeka designer clothes
deal?"

"Idiot," akandidaro and we all laughed.


"Now tell us what happened wave
bho," akadaro achigara pasi reminding
me of that terrifying incident. I
explained everything to them calmly.
"We have to call your parents,"
vakadaro mama ndikati, "don't worry
about that. I don't want to trouble
them."

"So you want to trouble us?"


Akabvunza Leon ndikati, "that's not
the case Leon ndogona kurara
muroom yandakarara nezuro."

"It's not like I'm dying to sleep with you


Ropa but we can't just ignore it," said
Leon.

"Leon is right mainini, this is a serious


issue," vakatsigira mukoma vacho and
in no time news dzanga dzatosvika
Masvingo.

"What?" Akaratidza kushamisika Liam


akabata phone yake zvikanzi naLeon,
"chii?"

"Hanzi Makanaka akafa akatitsamwira


here?" Akadaro achiratidza Leon
message. "Of course not," replied
Leon zvikanzi naNatasha. "Stop lying
bamunini the night before mainini vafa
i overheard her achinetsana
naPersonal Assistant wenyu and when
she asked you about that makati there
was nothing going on between the two
of you and mazuva acho Bee(PA) anga
asingachabve pano."
"We resolved that matter in the
morning maiguru," he replied zvikanzi,
"perhaps akangoita sekuti nyaya
yapera but stress anayo that's why
akazoita accident achidriver mota."

"Why didn't you tell me about this


Natty?" Akabvunza Liam zvikanzi,
"handina kumbozviisa mumusoro i
recalled it now pawati brother vake
vabvunza kuti akafa akatsamwa here?"

"Vasender imwe message," akadaro


Leon achitora phone yaLiam. "Hanzi
chii?" Liam asked.

"Kana anga asina kutsamwira murume


wake paakafa uye asina grudge nemi
zvinoreva kuti haasi kuda kuti
Ropafadzo aite chimutsamapfihwa,"
akaverenga message zvikanzi naLiam,
"chimbomira kuvaudza kuti manga
manetsana."

"Nditi chii?" Akabvunza Leon zvikanzi,


"hwinza ndibvunze kuti anenge
achirambirei kuti Ropa amureplace iye
ari hama yake?" Akasender message
vakakasira kupindura dad vachiti,
"sezvandataura kana anga
akatsamwira murume wake inenge itori
revenge kuti asaroore kana anga asina
it means anoda murume wake and she
still cares for him so anenge aona
Ropa asingamuitire or probably
Ropafadzo ane zvaakaita or she's
hiding something however we're
looking deeper into it. Tichaita kuti
vakuru vataure nemweya wake kana
pane zviri kuda kuitwa toita and kana
Ropa ane zvaanofanira kugadzirisa
kana kutaura otaura uyezve kana
murimi mune mhosva moripa."

"Ehoyi baba," akazopindura achigara


pasi pakamboita nguva pane
runyararo. "Kutaura chokwadi Natty
ukafa woda kutanga kuita mastyle
akadai unondiona," akadaro
kumukadzi wake Liam mai vake vakati,
"this is not time for jokes Liam."

"Am i the cause for her death?" Leon


asked with teary eyes. "That's not
true," vakaenda paari vachidaro.
"Don't blame yourself bro handidi
naBee manga musingadanane here
chero akafa nekuda kwenyaya iyoyo
but i guess kuti kana afa anoona
chokwadi chese. Handiti iwe hapana
zvawakaita naBee?" Vakadaro brother
vake zvikanzi, "huh?" Huh yake
yairatidza kuti pane something.

"Were you in love with Bee?"


Vakabvunza mama zvikanzi, "no but
we..." Akaguma nekudaro zvikanzi,
"but what Leon."

"We had sex twice," akadaro Mai vake


vakabva paari vachiti, "and you
pretended to be a good husband
Leon?"

"Mama i loved Makanaka and kubva


pandakamuroora handina kuzomboda
umwe mukadzi. Bridget ndakarara
naye ndiri intoxicated Maka atofa that
day pakaitwa worker's party
nepatakabva kumanyaradzo. I was
drunk mom," aive akutonzwisa tsitsi.

"It's okay Leon, I'm sure my dad will


find a way out of this." Zvese taive
tazvisiira mumaoko but i was not at
peace because i knew that ndini
ndaigona ndichikonzeresa zvaiita
nekuda kwenhumbu yaSten.
End of chapter
[5/29, 8:30 PM] Rue M:
https://chat.whatsapp.com/ENkuckAPC
anFaJ1dTwBgFf

Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 13
Ropafadzo

Kwakasvika pakudoka Leon angori


worried chero kakundituka tuka kaive
achimbondiita kanga kapera and
everyone could see that he was
stressed. "Have your food," ndakadaro
ndaona vamwe vakutopedza kudya iye
akangoyeva chikafu. "You too your
plate is still full," akandidaro
ndikatarisa muplate yangu ndokuona
kuti neniwo handina kudya asi
kungonyovhora chikafu. "After you my
husband I'm very well mannered," i
said so as i wanted to cheer him up
and i succeeded because akatoseka
achiti, "munzwei mwanasikana
wamambo."

"I'm not joking Leon


ndozvandakaudzwa kuti handidye kana
murume asati adya," ndakanyepa
zvangu nekuti mama vaitoti asingade
kudya akaguta. "Don't tell me mainini.
Kyle ari kudanana nani nekuti
ndakutodawo mwana wamambo
akarairwa comrade vandakaroora
ndikatorega kudya vanotopindira share
yangu?" Said Liam and we all laughed.

"How great but Kyle wandinoziva


anodanana nemacoloured and
nekusviba kwenyu asekuru munotizwa
naye. You can check vakomana vese
vaakadanana, they're either coloured
or white and iwe black mudzimu wototi
unoda Kyle," Liam teased her
husband.

"Am i that dark mom?" Akabvunza


mama Liam zvikanzi, "not at all handiti
ndiwe wakatomupendera vana vake.
"Mungagoti chii muri mai vake?"
Akadaro tikaseka tese takudya. After
supper i started feeling the tension
again nekuti nguva yekurara yanga
yakwana. "Let us go and check maybe
you were imagining things," akadaro
Leon aona ndave kudzokera kuguest
room.
"Leon hwave husiku i don't want to
trouble everyone," i said but he was a
little stubborn akandidhonza ruoko
tikaenda kubedroom. Akavhura door
slowly and i was already behind.
"Don't be scared," akadaro achilighter
light and the room was simply
beautiful.

"Wow!" Ndakadaro because yanga


yakaitwa zvandainyatsoda chaizvo.
"All good?" He asked. "Yeah," i replied
ndichigara pabed. "Good night then,"
akadaro achibuda mumba ndikashaya
kuti akuendepi. Ndakamboda
kumubvunza asi ndakazvidzora
nekutya kupindura mwando.
Ndakasimuka ndichienda kunogeza
kuti hope dzinyatsobata ndichibva
kunogeza ndikawana Leon adzoka. I
rushed back to the bathroom because
ndanga ndiri half naked ndichiti ndiri
ndegaka mumba.

"What happened?" Akanditevera


kubathroom achidaro ndikaita
sendichapinda mutub nenyadzi.
"You're scaring me Ropa pane
chawaona futi?" Ndakazvinyarira
adaro nekuti anga atove worried
achifunga kuti ndaona tete futi. "No i
didn't see anything," i replied zvikanzi,
"saka watizei?"

"You saw me," ndakadaro akati, "and


then?"

"Nevermind!" Ndakadaro
ndichimuvhurira door kuti abude anga
akuda kubuda ndobva amira padoor
akatanga kuseka. "What's wrong with
you?" I had to ask nekuti hapana
chaisekesa."You're shy right?"
Kuzongodaro ndakabva
ndatomusundira panze pebathroom.
"Pass me my nighties," ndakadaro ave
mubedroom. Ndokuzozvirova musoro
when i recalled panga pane pant rangu
futi ipapo. Ndaive ndamaburitsa
ndikaisa pabed ndakuenda kunogeza.

"Here you go," akadaro asvika padoor


ndikangovhura zvishoma
ndokugamuchira pant ndokubva
radonha ndikatoshaya kuti mawara
iwayo ramawanepi. Nenyadzi
ndakangoridhonza negumbo
kwakuzopfeka. Ndakamira
mubathroom ndapedza kupfeka
ndichishaya kuti ndobuda sei.

"Ropafadzo ndodawo kugezaka!"


Paakazodaro ndipo pandakapunyaira
ndichibuda. Ndakapinda mubedroom
shasha yawaridza pasi and i was
praying kuti ange ari iye arikurarapo
nekuti ndikarara pasi ndaimuka muviri
wese uchirwadza. Ndaive
ndamboparara pamanyaradzo atete
vanhu vakawandisa pamba ndikamuka
nyama dzisingade nemarwadzo.
"Sleep on the bed," paakadaro i felt
guilty kuti ndanga ndave kutorarisa
muridzi wemba pasi. "No, i sleep on
the couch," i replied. "Ungadai
waparara asi icouch raMai Chika inoita
noise vakaona munhu akarara ipapo
that's why uchiona chero musitting
room pasina kana anogara paarm
recouch kana kurarapo havade
mafunnies nezvinhu zvavo," i laughed
adaro nekuti zvanga zviri kwese
kunyangwe kwedu.

"Fine ndakadaro ndakuzora lotion iye


achienda kunogeza. Ndakabva ndatora
that chance kuti ndinamate asati
adzoka. Ndaitonamatira nechemumoyo
kuti asazvinzwe ari mubathroom nekuti
munamato wacho waitove secret
chaiyo.

"Zvimwe zvinhu ita uchinzwira Mwari


tsitsi Ropa five hours
wakangopfugama," akadaro Leon
ndapedza kunamata and i was
surprised kuti aive apedza kugeza
nguvai nekuti handina kumunzwa
achivhura door.
"Haungambozvinzwisise," i replied
ndichidzima light. Iye anga akagara
pacouch ari palaptop so i was sure
that he'd manage nelight relaptop.
Hope dzakaramba kubata ndikatora
phone ndichiti nditaure naKyle but she
was offline and anga atondiisira voice
note regretting chaakandipira pressure
yekuroorwa naSten. Anga atonzwa
zvekuti ndiri kuona tete apa akunditi
ndingotaura chokwadi kana vanhu
vakatadza kuzvigamuchira ndouya
kuUK ndogara naye otsvaga
apartment. Idea yake yanga iri great
but it was a little late kuti nditaure
chokwadi. Kuside kwangu ndanga
ndisisina basa nezvandichaitwa or
kunyadzisa dad. I was ready to endure
that pain but Leon. Anga asati
andigamuchira kana kuti anondida but
anga ave kuda kumover on so
kuzonzwa kuti ndine nhumbu
ndorambana naye futi zvaizomunyarira
akatozoita depression forever.
"Kutaura chokwadi hakuite Kyle. I've
made up my mind, ndonobvisa
nhumbu yacho then ndozomuudza
chokwadi ndisisina nhumbu. Do you
know what's eating me the most? Iye
ari kutaura everything about his past
and some weeks back aiti akarara
naBridget apa ini ndisingamuudze
chokwadi." Ndakazongosender
message ndichiti achapindura
paachaenda online asi ndakaona
akutopindura, "exactly my point Ropa.
He's very open and I'm sure
anokunzwisisa ukamuudza kuti une
nhumbu. It's not like wakaita nhumbu
yacho uchidanana naye but kuzoramba
wakaiviga nhumbu iyoyo wakugara
naye it's cheating. It's either uri
kubvisa nhumbu or woudza Sten
akakuramba wouya kuno. Ikozvino
haimboite nyaya nekuti hausisiri
kumuzinda kwekuti nyaya inoswera
yazara dunhu rese."

"Thanks girl by tomorrow ndinenge


ndaita plan," ndakadaro ndokuzorara.
Kurara kwacho kwaisambonakidza
sezvakwaiita kumba kwedu saka
ndakatokasira kumuka ndikacleaner
vanhu vachiriri vakarara. Maweekday
pamba panaLeon paidyiwa breakfast
nahalf six because almost everyone
aienda kubasa. Ndakazobetserwa
kubika naNatasha, she was friendly
zvekuti i felt comfortable around.
"Mainini mozotishanyirawo kumba
kwedu," akadaro ndikati, "hezvo kasi
mave kutodzokera?"

"Umm tagarisa pano hatisi


takutopedza gore," she said jokingly.
Ranga risiri haro gore vanga vakauya
pakashaya tete Maka kuti vacheme
vese semhuri and apa vanga
vakudzokera kumba kwavo
kuNewlands thinking everything is
settled.

"I will miss you maiguru," ndakadaro


zvikanzi, "chandinongoda kuti
muchengete bamunini vangu kuitira
kuti panofa Leon vanogara nhaka
vachiri fit fit," vakadaro ndisati
ndapindura Liam akapinda zvikanzi,
"dai iwe ukatanga kufa."

"Guys majokes enyu haasi bho,"


ndakadaro ndiri serious nekuti
paitaurwa nyaya dzekufa ndaifunga
tete naSten. "Sorry mainini but uyu
ndiye anonditanga," said Liam.

"Ropafadzo!" Ndakanzwa Leon


achindidana zvekuvharira imba yese.
"Coming," ndakadaro ndichienda
kubedroom zvikanzi, "ko shirt yangu
yewhite iripi and that navy blue tie?" I
almost laughed adaro because
ndaisatoziva shirt yaaibvunza. I
checked muwardrobe ndikaona
mungori nehembe two chaidzo. I
recalled kuti mama vanogona
vakadzigova or kutengesa because
vaiti vakamubvisira everything that
was linked to tete Maka.

"Hamuna chinhu apa ndiri kuda


kuenda kubasa," akadaro achizora
mafuta ndikati, "give me two minutes."
Ndakataura ndichibuda ndichida
kuenda kunamama ndikawana
vatogara kudinning and ready for
breakfast.

"Morning," i said.

"Warara bho?" Vakabvunza


ndikagutsirira musoro ndokuzoti.
"Leon haana hembe dzekuendesa
kubasa and ari kubvunza inini."

"Takadziendesa kumusha hembe


dzake ndimi mave kufanira
kumutengerawozve mainini but for
today anotoenda akapfeka dzangu,"
akadaro Liam ndikati, "baba Zayn
hamusi serious."

"Ndiri kutorevesa. Natty enda


unomutsvagira zvekupfeka," akadaro
Liam ndokubva ndabuda naNatty
achinondipa hembe. Leon akaenda
kunojoiner vamwe kubreakfast ini
ndikasara kubedroom ndichida
kupresser shirt yake. Ndakaenda
mubathroom ndichinotora mvura
yekuisa muiron pakudzoka
kwakunyatsoona tete Maka vachiironer
that same shirt.

"Jesus!" Ndakadaro ndichidonhedza


kabottle kaive nemvura kandaive
ndakabata. I wanted to run but
ndakabva ndaona vasisipo.

"I'm hallucinating," ndakadaro


ndakudzokera kunotora imwe mvura
ndokuzoironer pasina. Ndaiti vanhu
vachienda kubasa ndoenda
kuchipatara kunobvisa nhumbu yacho
but Natty akabva ati ndimuperekedze
kumba kwake kunogadzirisa zvinhu
sevanhu vanga vave nenguva
vasingagariko. Takapedza zvese zuva
rakutovira ndikati ndopfuura
nekuchipatara pakuenda kumba
ndinzwe ndakukumbirwa kunotora
Zayn and Maka( matwin aLiam naNatty)
kumba kwehanzvadzi yavo zvekuenda
kuchipatara zvikatovharana. Pamba
panga pasara vanhu vashoma saka
hatina kutandara zvinoenda kure
ndokubva tanorara.

"We need to talk Ropafadzo," akadaro


ndichangobva mubathroom Leon
ndikati, "it's okay." Ndakagara pabed
ndichida kunzwa nyaya yake ndokuona
munhu akuuya paside pangu.

"I hope unoziva kuti our marriage is a


compromise so both of us mustn't
have high expectations. We all need
time to understand each other right.
I'm truly ready to start a new
relationship with you but i must let go
of my past so do you. I don't hate you
and i don't want you to feel bad kana
ndichirara pasi. Let's take this step by
step so for the time being
muchamborara pabed ini ndichirara
pasi.

End of chapter
[5/29, 8:30 PM] Rue M:
https://chat.whatsapp.com/Bub8rtaRXo
n7kvpKbPJxCS

Vanoda Dilemma from chapter 1-14


pindai umu ndichasender na1pm
Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 14

Leon
Ndakatozopedzisira ndabvuma kuroora
ndisingade nekuda kungofadza mama
nekuti vanga vasisina rugare. Mari
vanga vabuda vachingopa
matherapist. Vaona kuti zviri kuramba
kwakutanga kundifambira
kumaporofita ndipo pandakatoona kuti
manje manje vanowira kun'anga
kwakuchibvuma though ndakavaudza
kuti nguva yekutsvaga mukadzi wacho
handitorina vakati, "it's fine." Handina
kumboita problem navo pavakati vari
kuda kunotsvaga kumba kwanaMaka
nekuti ivo ndivo vaida muroora kwete
ini. Ndakazotova involved mazviri
ndanzwa kuti ndatsvagirwa Ropa.

"Ropa haaite mama," ndakakasira


kudaro zvikanzi, "why une umwe
waunoda here?"

"That's not the case but there is no


way yandinokanganwa Maka
ndakugara naRopa, they were very
close and I'm sure kuti Maka
haangambofare nazvo," ndakadaro
dad vakati, "ndiye anotoita nekuti
vaitowirirana Leon. Imagine ukatora
munhu anenge Tapiwa waanga
asingade kuona chero mumvuri wake
kuti munowirirana here?" Handina
kuda kuramba ndichipikisana nadad
ndikangoti fine but i knew that
something was wrong with Ropa
nekuti she was beautiful, educated in
short she had everything so
zvakandinetsa kuti munhu anenge
Ropa chii chaita kuti abvume kuita
chimutsamapfihwa.

Ndisati ndatsvaga chikonzero


ndakabva ndaona message yaTapiwa
yakanzi, "babe wakuzofa manje." I
didn't reply as i didn't want to give her
attention but ndakangoti regai
ndimupindure ndiwane kunzwa nyaya
yaRopa. "Nei futi mainini?"
Ndakapindura zvikanzi, "watsvagirwa
mukadzi aneAIDS." Ndakadzokorodza
ndadzokorodza that message
ndokuzongoti, "mune AIDS here
mainini?"

"Ndoiwanepi iyeka Ropa wawapihwa,"


i didn't want to believe because
ndaiziva kuti vabereki vake
havaizomboita hutsinye hwekundipa
munhu ane AIDS tisina kutaurirana.
"Akaiwanepi?" Ndakabvunza mwana
wemunhu akaita five minutes achityper
ndokuzopinza message, "tatonzwa
nyaya yacho kumba nhasi kuti Ropa
ave kufanira kuroorwa nekuti aive
nevamwe blesser vake apa murume
wemunhu ane AIDS akamumitisa.
Akatopihwa mari yekubvisa nhumbu
akaramba kubvisa akaramba kubvisa
achida kuzowana kushandisa mwana
uya kutora murume wemunhu. Apa
chazoitika ndechekuti Mr Blesser
vakita neAIDS kwakuchinzi imi mutore
mukadzi akadaro nanababa nekuti
vanozoremerwa nekumuchengeta
zvese nemwana wake."

"Mandiudza zvimwe mainini so you


mean vabereki vake vari kuzviziva?"
Ndakabvunza zvikanzi, "vanotadza nei
handiti ndiko saka vatokupai Ropa
varegererei kuti Kyle. Kyle achiri
mwanaka kwete mvana iyi
yamapihwa." Mashoko aive nawo
zvake Tapiwa and ndizvo zvimwe
zvaivenganirana naMaka. Vakazotadza
kutaudzana andisendera manude ake
kwakuzoti, "ndasender by mistake
ndanga ndichida kusendera boyfriend
yangu inonzi Leon." Yakaita nyaya
naMaka achiti, "saka wakaserver
murume wangu nezita muphone
mako." Though we all knew that she
didn't make a mistake takamuregerera.
Akuzouya kumba pabirthday raMaka
after party vamwe vakaenda achiti
aizoenda the following day ndiye
pindikiti mubedroom mangu achibva
kunogeza achiti ari kutsvaga mafuta.
Aive akamonera towel achingokotama
kotama zvisina kana style. Ndokutanga
kuzora mafuta achiratidza zvinhu
zvake handina kuda kutaura naye
nekuti ndaida kuona kwazvinogumira.
Kwakuzoona munhu adonhedza towel
akasara ariye ndisina kana
chandakaita Maka ndokubva apinda
mubedroom pamba pakaita noise
zvekuti akasvika kugate akashama.
Ndakatombomublocker paphone
tikaita nguva tisingataure
akazonditanga new number apa
katsika kake kekundidana nemasweet
names anga asina kumira.

Ndiri pakati pekufunga madrama


andaive ndakaitirwa naye i received a
call from mainini Kyle. "Kwakanaka
mandifunga?" Ndakabvunza nekuti
Kyle aisangophoner phoner pasina
chakakosha.

"Am i a messenger of bad news," she


said jokingly ndikati, "ndokuzivai
mainini."

"Umm let it be ndichangobva kutaura


namama venyu but ndoda kuti
mutange kunzwa nyaya nevaridzi
venyaya bamukuru. You must be
wondering why Ropa anzi aite mukadzi
wenyu. Bamukuru nyaya iripo
ndeyekuti Sten ane mukadzi."
Akambomira kutaura paakadaro
neniwo ndikatoshamiswa nazvo nekuti
Sten ndaimuziva. Ropafadzo aive
amboudza Maka nezvake and akatouya
kumaintro kwatete naSten wacho.

"Carry on mainini," ndakadaro


zvikanzi, "the bad part is that two
months back akabviswa humhandara
naSten paakazoudza Sten kuti ane
nhumbu Sten akairamba achiti
nhumbu haibate nekurara kaone and
as if kurambirwa nhumbu was not
enough we found out that Sten ane
mukadzi. Ini ndini ndaiziva nyaya
yaRopa so you know sevana pakaita
nyaya idzi tomhanyira kufunga kubvisa
nhumbu. I told Ropa kuti abvise
nhumbu but she was so naive
akaramba. Then two days back
akaphonerwa naSten akaenda
kunomuona only to find out Sten
akurwara neAIDS we were so disturbed
zvekuti we conducted hiv self test
akabuda ari negative but we're not
sure kuti ari negative nekuti maexact
results anobuda after three months
after exposure and only a few days are
left kuti 90 days dzikwane tizive status
yaRopa chaiyo chaiyo. Finally Ropa
gathered the strength to abort Sten's
child asi secret yabva yabatwa
naNashe akudza dad kuti Ropa
aidanana nemurume wemunhu
akabvisa nhumbu. Dad semunhu
angachatrust Ropa vakaona zviri better
kuti Ropa achiroorwa that's why vati
mumuroore. I told nekuti ndanga
ndisingade kuti munzwe nemakuhwa
and Sten wacho ashaika this morning
hanzi mukadzi wake anga achimupa
mapiritsi asingashande achida kuti
afe." That's what mainini Kyle told me
and it was upto me to believe Kyle or
Tapiwa. It was obvious that I'd fall for
Kyle's words but to be sure i had to
meet Ropa. Pandakamuona anga ari
too stressed and confused zvekuti our
conversation didn't end well. On top of
her confusion akuzviti atsika munhu.
Seeing her condition i finally agreed to
marry her and sooner after marring her
akatanga kuona Maka. Pandakanzwa
zvakataurwa nadad vake i blamed
myself ndichiti nenyaya yaBee, Maka
akanditsamwira and akushungurudza
munhu asina mhosva but on the other
hand i thought anogona ariye Ropa
ane zvaari kuviga. After all Kyle anga
asina kumbotaura zviri clear panyaya
yenhumbu kuti akabvisa kana kuti
haana because akangoti, "she finally
gathered the strength to abort Sten's
child."

Ndakatozvipa basa rekuona kuti Ropa


ane nhumbu here zvekuti
ndakatombomuka manheru
ndichitarisa kuti haana kusunga
dumbu and suspicion yanga
yawedzera painyara kubuda
mubathroom akapfeka shirt ndichiti ari
kuhwandisa nhumbu.
Pandakamufugura ndakaona asina
chaakasunga nhumbu yacho
ndisingaione but i didn't want to
believe kuti haana nhumbu
ndokutoona kuti the best kuita
mamedical test asingazive. Kana ane
nhumbu tochionesana kana
achidzokera kumba kwavo odzokera.

I didn't have a problem nemwana


waSten but the fact yekuti anga atadza
kundiudza chokwadi and i was very
sure that mama vaizorwadziwa worse
nekunzwa kuti ndakanyeperwa

End of chapter
[5/29, 8:31 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 15

Kyle
Kwaitotonhora zvekuti vamwe vaive
vakafuga machira four four asi ini
ndainzwa kutsva. Kuzama kurara hope
dzairamba. Ndakadzamara ndabuda
muroom mangu ndikaenda kunogara
kubalcony husiku ihwohwo. I felt
responsible for Ropa's condition
nekuti ndini ndaive mastermind
pakuroorwa kwake naLeon apa anga
akuona tete nekuda kwangu. "Please
forgive oh Lord," ndakadaro
ndakatarisa mudenga ndapererwa.
Zvanga zvave pachena kuti Ropafadzo
anga asingambowane magut ekubvisa
nhumbu kana kuudza chokwadi
kunabamukuru. Semunhu akapinza
Ropa mumaproblem i had to find a way
out of that mess.

Chokwadi chaitoputsa hukama so


ndaida kugara ndine plan B kuti Ropa
achinge arambwa ouya kuUK togara
tese nekuti kumba kwaisadzokereka
even kumba kwedu kuHarare kwaisaita
kuti agare nekuti kwaisvika vanhu
vasingapere.

"Are you really angry with us tete? It's


fine but tell, what was i supposed to do
tete? This is all my fault scare me if
you're so fond of scaring people.
What's Ropa's fault in all this? Her
only problem is that haana kutaura
chokwadi and haana kunyepa futi. No
one gave her a chance to justify
herself. Ndaive ndakutopenga
nekutaura ndega ndokutoona kuti ndiri
kupedza nguva ndichitadza kuita plan.

Ndakataura naRopa paphone and she


assured me kuti aizobvisa nhumbu the
following day nyaya yapera
ndikangobvuma though i knew kuti
kwaingove kutaura chete. Mangwana
acho akasender message achiti aswera
ari busy anobvisa next day.
Zvekuverengera zvinhu ndiko kwaive
kubasa kwake saka ndakaona kuti
kutaura naLeon ndega situation isati
yashata was the best solution.

"Vatete?" Ndakacheuka ndadanwa


naRuramai wandaigara naye sister
yemukadzi Anashe. "What's bothering
you?" Akabvunza achigara paside
pangu ndikati, "nothing."

"Liar," she said hanging me a cup of


coffee. "Thanks," ndakadaro
ndichifuridza kuti ndiwane kunwa.
"Anyway kuri kubasa?" Akadaro
akanditarisa ndokubva ndati, "kubasa
kuri bho hameno kuti kuchikoro kuri
sei?"

"Ndizvozvo kungopusher pusher," she


replied. "That's great," i said.

"So kubasa kana kuri bho what's


bothering?" Anga adzokera kunyaya
yanga ndisingade. "You won't be able
to understand it," ndakadaro zvikanzi,
"you don't have to say that. We're
family now. Ndanga ndichida kuti
mundiudze mega but it seems you'll
never open up," akataura achiisa
coffee yake paside.

"Ropafadzo is still pregnant right?"


Hana yakarova paakadaro
ndikadonhedza mug yake. "Leave it,"
akadaro pandaida kucleaner mess.
"How did you know that?"
Ndakabvunza voice rati dzikirei as if
ndaitya kunzwikwa nevanhu
vekwaChika. "From you," akadaro and
i was shocked.
"I told you?" Ndakabvunza
ndichizvibata pachest akati, "sit down.
You cleared my doubts. Actually your
relationship with Ropa is similar to
mine and Maidei. Totaura almost
everything so usati wauya she called
me achindiudza nyaya yaRopa but aiti
vanhu vari kumupa pressure nhumbu
asati abvisa and anga akunzwai
muchiita argument pamusoro
penhumbu. Maidei haasi sure kuti
Ropa akazobvisa nhumbu here or not
and iwe wabva wandiratidza kuti
nhumbu achiri nayo. That's what
eating you right?"

"Yes, this issue is very complicated,"


ndakadaro zvikanzi, "your lies are
complicating things worse Kyle. I
understand kuti vabereki venyu
vanoremekedzwa and maisada
kuvanyadzisa but lying was extremely
wrong. I'm sure kuti dai makagara
navo pasi mukavaudza zviripo vaita
plan. Kana kuri kuti ivo ndivo vaizoti
nhumbu ibviswe or kana vachityira
reputation yavo vaimbotsvagira Ropa
kwekugara dai makaudza vanhu
vakuru musina stress yamunayo.
Makuseni wati Ropa ari kuona tete and
matove nefear probably hapana zviri
kuitika asi semunhu ane mhosva
pamwe it's just an illusion or fear.
However you failed to tell your parents
the truth it's high time for you to tell
Leon before this matter escalate. I
don't want to lie Kyle pandakanzwa
naMaidei kuti Ropa anogona ane
nhumbu and you're planning kuipa
Leon i was very angered because I've
been with Leon through his struggle
mafirst days akashaika tete venyu.
Muudzei chokwadi nekuti akazochibata
ega it will end in tears. Let me give a
close example , Travis paakandiroora
ndaibuda nemoyo wese but i was
ready to end our marriage after i found
out kuti ane mwana. See Travis munhu
wandaitoona so funga kuti Leon
asingade Ropa anoita sei akazoziva
zvenhumbu. Anorwambwa pasina
zvamunoita zvikazonyadzisa worse
kuti mwana wamambo aida kupa
bamukuru nhumbu yeboyfriend yake.
I've said a lot and I'm giving 24 hours
to tell Leon the truth or i will tell him
myself. You know that he's my close
friend."

"Ruramai?" Ndakadaro ndapererwa


zvikanzi, "ndiri serious pamakaroora
Maidei maiziva zvese from A to Z so
ndizvo zvamaifanirawo kuita kwaChika
musati mavapa mwana wenyu."

"Kuudza Leon chokwadi ndoda asi


ndiri kushaya pekutangira uye
mashoko asingazorwadze." Ndakadaro
ndichibata phone yangu. "Ndipei
phone nditaure naye ndichiita semi,"
akadaro ndakamutambidza phone.
"Ropafadzo is not at fault though,"
ndakadaro zvikanzi, "you're blinded by
your love for her."

"Is it her fault?" Ndakabvunza zvikanzi,


"kumitiswa naSten haisi mhosva yake
asi kusataura kuti ane nhumbu ndiyo
mhosva yake manje."

"Good afternoon bamukuru,"


akasender message achidaro as it was
already noon kumusha. "I'm driving
mainini ndokutangai ndasvika pandiri
kuenda. Give me ten minutes," he
replied and ten minutes dzako hadzina
kumbononoka kukwana zvikanzi,
"hello."

"It's abou Ropa," akadaro Ruramai


zvikanzi, "what about her."

"Bamukuru that day handina


kukuudzai zvese pamusoro pake pane
zvimwe zvakasara," yakasendewa
message. Reply ikauya yakanzi, "i
don't want to sound rude mainini.
Ropafadzo akura and kana pane
zvandinofanira kuziva she must be the
one to tell me not you. I don't want you
to be mouthpiece because right now
you're sounding like you're my wife
assistant. I'm not mad at you but my
point is that kana dziri nyaya dzaRopa
ndoda kudzinzwa naye. I'm not rough
but don't you think matove that third
person pakati pedu?" Tichipedza
kuverenga Ruramai akabva ati, "what's
wrong with him."

"I'm the third murelationship yavo


manje? Whereas ndichitozama kuti
relationship yavo iwane meaning?"
Ndakabatikana chaizvo zvekuti dai
panga pasina Ruramai ndaitaura
zvimwe and for the sake of Ropa i had
to tolerate such rubbish.

"Maybe pane zvaakatsamwira,"


akadaro Ruramai ndikati, "whatever
adii kusapindura pane kupindura
rubbish. Only God knows kuti
Ropafadzo ari kutaurwa naye sei ikoko.
Do you know what? Ndakuda kutsvaga
apartment ndogara naRopa osiyana
naye."
"Hey! Hey,why are you getting
frustrated. Take it from his point of
view kana kuti iwe une boyfriend yako
then brother yake ndiyo yoita basa
rekutaura newe. At some point you'll
feel as if wakutodanana nebrother yake
because dzimwe nyaya dzinongoda
kudzinzwa from the direct source."
Akadaro Ruramai ndokubva kwapinda
imwe message yakanzi, "mainini i'm
sorry kana ndakanganisa kutaura but
Ropa is too quite and imi mukaramba
muchimumirira she'll never grow.
Handina problem nemi asi hama yenyu
ndiyo yandinoda kuti izvimirire."

"I get you bamukuru handichataure


nemi actually ndiko kekupedzisira
kutaura nemi because you made it
clear kuti hamude kutaura neni but i'm
a part of Ropafadzo which you'll never
erase. I wasn't dying to chat with you
anyway and don't sound as if we were
desperate to get Ropa married to you
kana manga musingade nezvake
mungadai makamuramba."
Ndakasender message Ruramai
akazotora phone achiverenga. "Tete
maitei?" Akadaro akavhura maziso as
if aona zvinhu zvinotyisa.

"Apa yatoblue ticker," akadaro


achindiratidza ndikati, "so what?
Haashamisire Leon right now I'm
earning handsomely zvekuti ndogona
kuchengeta Ropa nemwana wake and
kumba kwedu hakutorina nhamo
yekuti Ropa akadzokera
anonotambura."

"That's your problem, according to you


Ropa is innocent," akadaro ndikati, "of
course." Akadzungudza musoro
akanditarisa zvikanzi, "aisa voice
note." Akabva aplayer zvichinzi,"i don't
know kana ndataura zviri wrong but
mainini this'll marriage ndeya
Ropafadzo and munhu ari kuisa effort
ndimi instead of her. Ndati ndoda
kunzwa nyaya naye kuti ndione how
serious she is about this marriage.
Handina kuti handidi kutaura nemi but
ndoda kungoziva kuti Ropa ari
kufungei nemarriage yacho. Munogona
kushingirira kutibatanidza but kana isu
tisingaise effort hence i'm saying i
want to deal with her. Part yenyu mese
makaita tikaroorana it's now up to us
kuti marriage iyi ishande. I'm sorry
again kana matsamwa." Tichipedza
kuterera voice note akabva aisa
message imwe yakanzi, "sorry kani
mainini chitaurai nyaya yenyu."

"Ichataurika mamboti ndiri third


person?" Yakasendewa naRuramai
message zvikanzi, "Ropa was right
about you hamutane kucatcher
mafeelings."

"Zvapera let's move on," akadaro


Ruramai zvikanzi, "fine what were you
saying?"

"Ropafadzo is still pregnant," ndakaita


mudumbu asender message iyoyo.
"Abva aenda offline," akadaro Ruramai
achinditambidza phone apa yanga
yatovhurwa message yacho.

"Fingers crossed," ndakadaro


ndichitsinzina zvikanzi, "switch off
your phone and go to bed tomorrow
morning tomukira kunzwa kuti
zvafamba sei."

"He's online," ndakadaro ndaona vave


kutyper but message yacho haina
kusvika ndikaona munhu ave offline.
Ndakadzima phone ndikaenda
kunorara.

End of chapter.

[5/29, 8:33 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 16
Ropafadzo

Hapanaka pandaizopikisa decision


yake yekuti taizorara tese kana tave
kunzwisisana. Kunyangwe ini ndanga
ndisati ndave ready for sex asi kuti
ndaingove nekahope kekuti tikarara
tese relationship yedu inoita
kanegative turn so but apa zvanga
zvatodirwa jecha the only way yanga
yasara kubvisa nhumbu. As always
pasina rugare hapararike ndakakasirira
kumuka ndikatanga kuita basa
repamba chero panga pane musikana
webasa ndaitoona kuti zviri nani ndiite
basa pane kuswera ndichifunganya.
Ndichipedza basa ndakageza Leon
asati amuka ndokuenda kukitchen
kunogadzira breakfast.

"Aihwaka usandiudze zvekuti muroora


iwe wave chii pano?" Ndakanzwa Leon
achitaura voice riri rake riri pamusoro.
Only God knows kuti chaiita kuti aite
ruzha makuseni. Ndakabuda
mukitchen ndichida kuona kuti
ainetsana nani ndiye dhuma dhuma
namama namudhara vachiendawo
kuna Leon. "Good morning,"
ndakadaro zvikanzi nabab, "morning."

"Warara zvakanaka?" Vakabvunza


mama ndikati, 'yeah." Takaona ari busy
kunetsana nemusikana webasa mwana
wekwaChika. "What's wrong Leon?"
Vakabvunza mai vake zvikanzi, "there's
nothing wrong mom. Handiti pano tave
four vanhu vakuru I'm sure Ropa
wenyu can manage basa repamba uyu
ngaarove pasi zvake." Ndakamutarisa
nemaziso ekuti, "mudhara muri
serious here?" Imba yanaLeon yanga
yakazvikurira zvekuti yaitoda
anobhadharwa chaiye kuti acleane of
which ini zvekucleaner zvaitove kure
neni kumba kwedu sometimes
ndaitocleanirwa nemusikana webasa
muroom yangu. Chandaitoita kubika
nekuti ikoko kwaisatambira vasikana
vebasa. It's not like ndaisagona basa
repamba asi kucleaner sitting room
chete wainzwa kuti wave bho.
"Leon nemakuriro akaita imba ino
Ropa anoigona here?" Vakabvunza
mai vake zvikanzi, "anotadza nei kana
munhu anenge Tee achigona,"
akapindura ndakashaya kuti chaive
chaita Tee chatsamwisa baba
vekwangu chii. "Look Ropa amuka
kumafour akacleaner uyu wamunoti
musikana webasa akarara achimuka
aona kuti Ropa ari kucleaner anouya
kubedroom kwangu achiti ari kuda
kucleaner. Ndamuudza kuti Ropa
achacleaner akutanga kundibvunza
zvisinei naye like pasi pakawaridzwa
ndiyani anga akaparara? Kasi
handisati ndakuwirirana naRopa?
Zvinei nayo ndizvo zvaakavinga
pano?"

"Calm down Leon," ndakadaro ndaona


asingatore break pakutaura. "What
were you doing in my bedroom?"
Ndakabvunza Tee wacho nekuti mama
vaive vandiudza kuti kumabedroom
kwedu tocleaner tega Tee hazvikeko.
"Answer me," ndakadaro ndaona
angonditarisa zvikanzi, "ndanzwa baba
Mimie vachiita madzikirira ndikafunga
kuti hamumo ndokupinda kuti
ndivamutse."

"First of all address him as Mr Chika or


Leon," ndakadaro nekuti baba Mimie
yanga isingachaite iyeye Mimie wacho
asisipo. "Let your wife handle her,"
said Leon's dad excusing us. "Ari
kunyepa uyu munhu anoita madzikirira
akasvinura here ndanga ndakasvinura
time dzawamuka and kubva ipapo
handina kumborara in fact paapinda
mubedroom ndanga ndiri
mubathroom," akazviramba Leon
zvikanzi naTee, "zvanditi ndanzwa
semuri kuita madzikirira. I wasn't
sure." Mama vakasimudza maoko
vakaenda. "Kana basa rawakavinga
pasisina you're free to leave this house
madam," akadaro Leon akudzokera
kubedroom ndokusara naTee.

"Let this be the last time yekupinda


mubedroom mangu," ndakadaro tasara
tega because chero naLeon tainetsana
our bedroom issue yaitove privacy
yedu. Zvake zvekuzoda kubvunza kuti
airara pasi ndiyani kwanga kwatove
kucrosser line. Akada kundiitira
kaattitude you know people behave
kana uchiri mutsva panzvimbo zviya
zvekuda kundiratidza kuti handina
simba kana say pamba nekuti ndakati
ndiri pakati pekutaura akati, "kana
mune zvakawanda mozondidana ndave
free right now ndine zvakakosha
zvekuita." I was an unloved wife but
ndaiziva kuti respect pakati pangu
naLeon yaivepo zvekuti
ndikanomuudza kuti Tee arove pasi
aienda.

"What do you think of yourself?"


Ndakamubvunza ndichitoda kunzwawo
mafungiro ake zvikanzi, "mwana
washe muranda kumwe pano uri
muroora so behave as one," dai ndaive
Kyle ndakamuridza mbama ipapo
nekuti Kyle aisamisa but ndaitove
Ropafadzo zvangu zvekuita noise
nevanhu vasina basa ndaisada. Leon
ndiye akaita Mwari wangu anzwa
musikana wavo achindiudza how to
behave.

"Chimboendawo kumusha kwenyu


kuleave Tee," he said that in a funny
way zvekuti ndakaseka. "Leave yei?"
Akabvunza zvikanzi, "leave chaiyo
wagarisa usina kuona mai vako saka
unoda kumbonorairwa futi." Akadaro
Leon zvikanzi, "ndenge ndichitoenda
Sunday nekuti this Friday kune
birthday raRopa. Mama vaiti tiri
kumuitira surprise party so panenge
pane basa rakawanda."

"Hoo i didn't know but it's wise kuti


ungoenda kumusha kwenyu nekuti
hapasisina surprise party," ndiLeon
akadaro zvikanzi, "nei?"

"That's your homework," akataura


achienda kukitchen ndokubva
ndamuteverawo. "Come and join us
kwete zvekuzosara kwakuita
mafunnies wave wega?" Akadaro Leon
aona kuti ndanga ndisina maplan
ekuvajoiner padinning table. "So
early?" Ndakadaro zvikanzi, "yes."
Ndakavajoiner ndakanyarara but
zvaisangoita kudya makuseni seni
nevangu vanomukira ini ndichiswera
pamba.
"Ndakambonzwa kuti waitsvaga basa
wakazodii?" Akandibvunza zvaive
mumusoro mangu. "Ndakanzwa
naNashe kuti une certificate in risk
management so if you want, you're
more than welcome to our family
business," vakadaro baba ndisati
ndapindura zvikanzi naLeon, "ndigoita
24/7 ndina Ropa? Kuti kumba
nekubasa ndinaye?" Aisambotambisa
mukana pakuratidza kuti aisada
kuswera neni though aitaura
semajokes.
"That's if kana uchida kuzoita assistant
waMasibanda," vakadaro baba. "It's
not like tenge tichishandira muofffice
one Leon," i added.

"Is it necessary kuti uende kubasa iko


zvino?" Akabvunza Leon ndikakasira
kupindura ndichiti, "so kusara ndega
pamba ndiko kunoita?" After all
ndaisada kuloser golden opportunity
yebasa.

"Fine handide kuita nharo nevakadzi,


unozotanga kuenda next month after
everything is settled," akadaro
zvinonzwikwa and then whispered,"i
mean settled between us my lady
unogona kuenda kubasa this week
then next week zvadhakwa." Hana
yakarova ndichishaya kuti airevei.
Ndakapedza kudya ndisisina mufaro
but ndakangoti hameno kuna Mwari.
Vaenda kubasa ndakadzokera
mubedroom ndikaona asiya credit card
nekanote kakanzi, "kana wawana time
upinde mutown kunotenga hembe
dzedu." I took a deep breath
ndokutanga kugadzirira kuenda
kutown ndichiti ndongobatanidza
zvese nekuchipatara.

Ndichipedza shopping Leon akaphoner


achibvunza kwandaive ndikamuudza
akangoti ndimire pandaive and in no
time anga avepo.
"How's it?" Ndakadaro ndakazembera
mota yake sezvo iriyo yandaive
ndabuda nayo. "All good," akadaro ari
calm ndikati, "yes."

"Ndauya kuti tiende kuchipatara,"


akadaro ndikati, "ari kurwara ndiyani?"
Zvekuchipatara ndisati ndabvisa
nhumbu ndaisatoda kuzvinzwa but he
said, "you're not feeling well Ropa and
you're having sleepless nights.
Unogona kunge usingazvione hako but
mama vatoti ndiende newe kuna
doctor unoonekwa kuti chii chiri
kunetsa kana kuti tongoenda
pasurgery paKayden paseri apo
wonoitwa body scan."
"Body scan!" Ndakakanuka akati, "yes
my lady." Body scan yaisaita ini
ndaisamborwaraka and pascan
zvaibva zvatoonekwa kuti ndichiri
nenhumbu.

End of chapter.
[5/29, 8:33 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900
Chapter 17

Leon

Ndakatofunga ndataura kuti ndaive


ndatokanganisa nekuti kuri kuti haana
nhumbu ndaizonyarira pai because
kuchipatara ndizvo zvandaida kuti
anotariswa and i guess she suspected
the foul play akati, "ndezvekuti handisi
kunzwa zvakanaka or there's
something behind this Leon. Look in
three days time toenda kuchipatara
kwacho ndichinoita hiv test
yekupedzisira so kuti nhasi ndaenda
kuswera mangwana ndodzokera futi it
doesn't make sense. After all I'm fine
hameno kuti ndiri kurwara nei
zvandisingazive ini muridzi wemuviri."
Kakuramba kaakaita kuenda
kuchipatara kakasimbisa doubt. "Fine
todzoka kuswera mangwana,"
ndakadaro takupinda mumota
ndikabata bata nekutarisa hembe
dzaive atenga. I was a little surprised
ndaona atenga dzangu chete of which
iye anga asitorina hembe.

"Ko dzako dziripi?" Ndakabvunza


zvikanzi, "so far i will manage
nedzandinadzo idzodzo. Nowadays
handisi kuenda kubasa and I'm not
sure kuti dad vacharamba
vachindiisira mari muaccount mangu
ndaroorwa so ndoda kusaver mari
yandinayo. Hembe ndichazotenga
ndave kushanda," aitove serious
achitaura tsvina ndikati, "it's obvious
kuti dad vako havachatumire mari
because hausisiri responsibility yavo."

"That's what i was trying to say, iko


zvino ndave kuzvimirira so ndofanira
kushandisa mari wisely," akapindura
achiisa phone yake pacharger.
"Handiti you're now my wife, i'm
supposed to take of all your needs,"
ndakadaro and she faked a laughter
saying, "i don't need your favor Leon i
can take care of my needs and wants."
"Favor?" Ndakakanuka zvikanzi, "yes i
don't want to depend on charity."
Aitove right kana akanyarara Ropa
nekuti paitaura mukanwa make
maibuda rubbish. "Charity unoiziva
here?" Ndakabvunza zvikanzi, "yes
kana ndikatoitirwa chinhu newe it's a
favor or charity because i'm nothing to
you handiti ndingori muroora waMai
Chika and I'm scared kuti this week
unogona kunditengera hembe then
next week wozodzitora. I want
everything to be settled first, i mean
between us." Ndakabva ndaona
kwazvaibva ndikasiyana nazvo.

Takamboita ruranyararo mumota


ndinzwe, "nhasi ndiri kuda kunorara
kumba kwedu." Handina kuda
kumupindura zvikanzi, "dai watodriver
wakananga kuChisipite. VanaNashe
vakabva kumusha nezuro saka ndoda
kunovaona kumba."

"Ukati haushure iwe?" Ndakadaro


zvikanzi, "kasi ndadii?"

"Hauna kana week waroorwa wakuda


kutodzokera kumba kwenyu," chero
ndimi nefour days dzatagara tese
munhu wototi ndakuda kuenda kumba
kwedu. "Uchazoenda kumba kwenyu
pamasungiro," ndakadaro ndichida
kumunzwa akatora time akanyarara but
hana yake ndaiiona kurova nekuti
blouse raive akapfeka raitoratidza kuti
mukati hamuna kugadzikana. "Ariko
rini?" Akabvunza ari calm ndikati,
"ndotobvunza iwe muridzi
wenhumbu." Pandakadaro she took a
deep breath and said, "nhumbu yani
futi?" Ropa anga ane innocent face
she so paakabvunza kudaro with teary
eyes i felt bad because ndaifunga kuti
ndamurangaridza zvaSten.

"Nhumbu yani Leon?" She replied


misodzi ichitoyerera. Ndakabuda
muroad ndikamisa mota ndikati, "i'm
sorry Ropa ndanga ndichiti kutamba
handiti ndiwe watanga uchiti wakuda
kudzokera kumba. Kuzongodaro
akabva awedzera kunzwisa tsitsi and
hazvina kutora time kuti ndimuise
pachest pangu embracing her.

"Leon," akadaro achichema ndikati,


"yes." Akaita seasina kundinzwa
ndikati, "wati babe?" Honestly
speaking ndakatoshaya kuti
ndamuitirei kuti babe ndikazoti, "sorry
i mean Ropa." She giggled while
crying ndokuzoti, "it's okay. I don't
know where to start Leon," akadaro
achibva pachest akupukuta misodzi. I
ruined my life because of one
mistake," akambonyarara achichema
futi and continued, "i made a mistake
of loving a wrong person. I didn't know
that Sten was married trust me,"
ndakamubata mashoulder and gave
her another tight hug. "Just forget
about Sten," ndakadaro zvikanzi, "not
now pane zvandiri kuda kuudza."

"Not today Ropa," i said rubbing her


back. Anyarara ndakafunga kuti
pamwe aida kundiudza zvenhumbu
yaSten ndikati, "Ropa."

"Huu," she said with bleary


eyes."Forget it," ndakadaro ndokubva
ndamurarisa paseat ndikamutsa mota
takananga kumba. Ndakatora nguva
ndakamuyeva akarara. Ko akarara waiti
munhu kwaye, hanzvadzi yaMessiah
chaiyo. "This is wrong Leon,"
ndakazviudza ndaona ndakutoyeverwa
naye zvakapfurikidza. I didn't want to
develop a soft corner for her ndisati
ndamuona because i was scared kuti
ndogoda kutanga kubuda then
ndozonzwa zvenhumbu. Nhumbu
chaiyo ndanga ndisina pressure nayo
asi kunyeperwa manje. Ndaitonamatira
kuti ange asina nhumbu nekuti kana
aive nayo aidzokera kumba kwavo
straight Mai Chika vakapinda busy
nekutsvaga umwe muroora.

"Umm tasvika," akadaro achimuka


achitwasanudza maoko. "Ehe tasvika
ndakuda kudzokera kubasa,"
ndakadaro zvikanzi, "fine ndokuona
wadzoka." Ndaida kutodzokera nemota
iyoyo asi iye aitoratidza kuti haasi
kuda kumudamo. "Wadii wanozororera
mumba?" I humbly requested her to
get out of my car.

"I will be fine in here," akadaro


ndikatoshaya kuti husimbe here
hwekutadza kufamba kuenda
mubedroom kunorara pari comfortable
kana kuti pane zvimwe zvaimunetsa.
Ndakatora maplastic bag aive
nehembe ndikamusimudza akarivara
ndichienda naye kubedroom. I could
see that she was shocked nekuti chero
hope dzaive nadzo dzakapera.
"Ndogona kufamba," akadaro but
handina kuda kumuterera. Ndaida
kumuburutsa tichangopinda mumba
but pandakaona Tee ndakawana simba
nekuti ndaida kuti awane zvekutaura
chero kune hama yake Bee nekuti i
was sure kuti zvekuti tiri kurara
separately zvanga zvatosvika kuna
Bee. Ndakaita sendisingamuone
paakatora photo ndikaseka
nechemumoyo. Ndakanosiya Ropa
ndokudzokera kubasa ndichingopinda
mumota ndakabva ndaona message
from Kyle. Ndakati ndichitaura naye
ndasvika kwandaienda because panga
pave netime ndabva kubasa.
Ndichisvika ndakabva ndamutanga.
Akatanga kuda kutaura nezvaRopa
ndikakasira kumukata because ndaive
ndakuda kudealer naRopa ndega. Kyle
haana kuzvinzwisisa zvandaive
akatsamwa kusvika ndazokumbira
ruregerero kasingapere kuti ndinzwe
zvaida kutaura but ndakademba
chandaive ndazomuti andiudze nyaya
yake ati Ropa achiri nenhumbu. I didn't
know how to react after reading that
message.

End of chapter
[5/29, 8:34 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900

Chapter 18
Leon

Ndaiti ndikada kutyper ndave kupedza


ndodzima ndombosiya phone kusvika
Kyle azoenda offline. "Why am i
thinking too much?" Ndakazvibvunza
ndatoona kuti ndakutozvinetsa
semunhu aive aita suggestion yekuti
kana Ropa ane nhumbu anongorova
pasi. "Chibaba!" Akapinda muofffice
mangu achidaro Liam achiratidza kuti
ari mugood mood. "Eheka taura
tinzwe," akadaro achinditambidza
phone yake wanting ndini ndaive
ndakasimudza Ropa. "Wariwanepi
photo iri?" Ndakabvunza zvikanzi,
"mukati mukati umu mudhara. Do you
sometimes ndombofunga kuti waive
wagara uchida mwana iwe," he was
happy for me asingatozive kuti
relationship yangu nemwana
hapasisina.

"Ndokumbirawo kumboita basa rangu


you know tomorrow ndine
presentation," ndakadaro nekuti
ndaisada kuti arambe achitaura nyaya
yaRopa. "Fine chindiudza kuti
muchato uriko rini?"

"Liam!" Ndakadaro ndichimurova


nefile. "Umm uri kutonyara kutaura
neni zvinoita vanhu vari murudo tione
ati chii," akadaro achida kutora phone
yangu ndikakasira kuibata because
yanga iri pachat raKyle. "Oh i'm sorry
man you need some privacy
nemwana," aitove nedirty mind ini
ndichitonetswa nezvimwe. Akati
akuenda ndikati, "but wariwanepi
photo iroro."

"Ndaratidzwa naex vako," akadaro and


i gave him an expression yekuti, "uri
kutii?'

"Oh sorry ndasenderwa naBee,"


akapindura ndikati, "pachii?" Akabva
adzoka akati, "mudhara chii nemi
musaite semusingazive Bee. Atanga
achibvunza kuti Leon anga agara
achidanana naRopa here nekuti
maphoto avo ndeevanhu vari murudo
ndipo pandati andisendere asi haana
kuda kundiudza kuti amawanepi but
i'm sure asenderwa naTee."
Ndakatodemba nechandaive
ndamusimudzira nekuti
zvaizotonyadzisa kuti makuseni
taonekwa takasimudzana manheru
tarambana. Liam akabuda ndikasara
ndichifunga kuti Ropa ndomuita sei
chaizvo.

"Hello ndokumbirawo Wi-Fi


password," ndakaona Ropa asender
message ndokubva ndangomuudza
password akangoti, "thank you."

"Nhasi ndiri kunonoka kuuya kumba,"


ndakadaro ndokubva ndatoenda
offline. Ndakadzima phone ndikatanga
kuita serious nebasa.

"Knock knock," vakadaro mama


vachitopinda muoffice. "Work time is
over hande kumba," vakadaro
vachivhara book randaiverenga. "Mom
kani ndiri kuita research iya you know
mangwana kune board meeting and
ndine presentation," i said zvikanzi,
"fine unonopedzera kumba
uchibetserwa naRopa handiti
zvebusiness ndizvo zvaakaendera
abroad."
"I would rather die pane kupihwa
mapoint naRopa," ndakadaro zvikanzi,
"fine suit yourself ndaenda ini."
Vakadaro vachibuda sare
ndichipfuurira mberi. Ndakatozopedza
zvepresentation kuma8pm
ndokuchigadzirira kubuda. Ndaisada
kuenda kumba but kuclub
kubhononwira kuti ndikanganwe
nhamo. Kumba ndaizoenda kwakuedza
asi zvese zvandaifunga zvakaenda
mudondo ndaona missus vandisvikira
kubasa.

"Hi," akapinda achidaro muoffice


achiita kakudongorera. "Hi," i faked a
smile ndichidaro. "How may i help you
ma'am?" Ndakadaro akati, "actually I'm
here to help you. Ndakuvigira chikafu
and mama vanga vachiti uri
kushungurudzwa nepresentation,"
aitodaro semunhu ari concerned.
Pandakarangarira zvenhumbu
ndakaridza tsamwa akati, "how
ungrateful?" Ndakatarisa Ropa
ndakambofunga kuti Kyle anyepa
because Ropa looked innocent. Anga
asina mamood satete vake. Maka anga
ane kamwe kapride achizviona seari
extra special because of her
background but ndaingomuda
zvakadaro manje Ropa was her
opposite. Kuti ndimubve zvenhumbu
ndakazeza kuchemerwa ndokusiyana
nazvo ndikadya chikafu. After meal
akandiwedzerera mamwe mapoint
papresentation ndokuzoenda kumba
tese zvaisada.

Umwe neumwe akarara panzvimbo


pake ndokubva ndatanga kusearcher
natural ways to test pregnancy at
home but ese anga ari useless nekuti
paitoda urine yaRopa and Ropa
aitongoitira weti mutoilet.

"You're very great Leon," ndakadaro


ndafunga zvekuenda naye kuna doctor
onoitwa scan. Anga asingambobvume
so ndanga ndatofunga plan to compel
her to visit a doctor. I called Ruramai
one of my friend aiziva zvemedicine
ndichida kubvunza kuti ndingapa Ropa
drug ripi rinoita kuti afeele dizzy
ndobva ndamhanya naye kuchipatara
akadaro. Of course haizotaura kuti
ndiri kupa Ropa ndaiwana nhema
dzekutaura.

"Uri kuda kupa ani Leon?" Akabvunza


Ruramai ndikati, "ko kungondoudzawo
zvandabvunza nhai. Handisi kubvunza
mishonga yekuuraya vanhuka,"
ndakadaro zvikanzi, "hameno hako."

"Uri kundibatsira here kana kuti


wakuda kutonditanga nemalecture
ako?" I said jokingly nekuti munhu
wacho ndaimuziva, "iii veduwe Leon
ungabva wadaro. Fine use either
antidepressants, sedatives or drugs to
control high blood pressure," akadaro
ndikati, "thank you very much."
Ndakakata phone ndave kurara
ndozotsvaga madrug acho the
following day nekuti chero
ekucontroller high blood pressure
hapana aimashandisa.
Kwakandinonokera kuedza kuti
ndiende naRopa kuscan.
Ndakatozobatwa nehope kwave kuedza
zvekuti Ropa ndiye akazondimutsira
kubasa.

"Palunch tosangana mutownka,"


ndakadaro ndave kuda kuenda kubasa.
"Munei?" Akabvunza ndikati, "my silly
missus tomorrow is your birthday so
ndiri kuda kuti utenge zvinhu
zvepaparty tinenge tine vaenzi vakati
wandei."

"Huh Leon haubatsire we were


planning a surprise party iwe
wakumuudza," vakadaro mama ndikati,
"akaudzwa kare naTee uyu."
Takatenderana kuti taisangana
palunch tichitenga zvinhu zvebirthday
party asi mumusoro mangu maive
nefarewell party yake. Before
presentation ndakatuma munhu
kunotsvaga mapills acho zvekuti lunch
yakasara yokwana ndave ready.
Ndakapfuura neparestaurant
ndichitenga chikafu ndokufanoisa
mapill mujuice raRopa.
"Juice rako iri kuita serakaexpire,"
akadaro amboshingirira kumwa.
"Wagutaka?" I said that jokingly
zvikanzi, "I'm serious inzwa." Handina
kumboramba ndokungoti kasip for
sure test yacho yanga isingachaite
nekuda kwemapill andaive ndaisa.
"Umm i don't know what's wrong you
can have mine," ndakadaro
ndichimutambidza rangu zvikanzi,
"don't stress yourself." I didn't want to
stress myself so ndakamurega
achinwa rake iroro though
aingocomplainer kusvika ripere. Drug
racho rakazotanga kushanda ndisisina
hope nekuti ndaive ndajaira zvemuTV
kuti munhu asati atopedza kunwa
haachatoone. "Ngatiite zvatafambira
i'm feeling dizzy," akadaro achibata
musoro wake ndikati, "fine hande
kuboutique kwaAliyah totanga
nehembe." Ndakadaro ndichimutsa
mota takananga pakaprivate clinic.
Ndakaburuka naye mumota akacover
face yake nekusada kuteyewa nezuva
achiti, "i can't see clearly Leon
ndogona kudonha it's better ndisare
ndakazorora mumota."

"Come on Ropa unonogara pachair


ndichikuratidza," ndakadaro
ndichimubata ruoko kuti ndimubetsere
kufamba. Ndaive ndaita appointment
nadoctor vacho kare so takangosvika
tichiita zvatafambira. Procedure yese
yakaitwa vangu missus vasingazive
chiri kutora nzvimbo. "My head is
heavy Leon," ndizvo zvaingotaurwa
shasha ichibata musoro.

"Congratulations Sir your wife is


pregnant, there is your baby,"
vakadaro doctor nemufaro ndikatarisa
chinhu chacho chainzi mwana wangu
pamonitor chichitoita mamovement.
After ndapihwa scan report ndakanzwa
kuda kumusiya nadoctor asi
ndakazeza kuzobuda paH-Metro

End of chapter
[5/29, 8:34 PM] Rue M: Dilemma
Written By Rue M
0788357900

Chapter 19

Ropafadzo

Two days dzanga dzatopfuura


ndichishaya mukana wekunobvisa
nhumbu. On Thursday ndakatobva
pamba ndichiti ndonobvisa ndisati
ndaona Leon tozoita shopping after
abortion but ndakasvika doctor
vandaive ndataura navo vari busy
ndikambotenderera mutown telling
myself that ndaizovaona after
shopping. Ndakasangana naLeon
palunch but akatozoita shopping ega
as i was feeling dizzy zvekusatoziva
kana kuona zvaitika. Ndakasvika
kumba ndikarara. Pandakapepuka
ndaive ndakanyorova nditori mubath
tub. Ndakaita kakuvhunduka
ndichibuda mutub ndokutora towel
ndikazvimonera as i was naked.
Pfungwa dzangu dzakangomhanyira
kuti nditete Maka vandiburitsa
mubedroom. Ndichizama kubatanidza
zvaive zvaitika ndakabva ndaona Leon
achipinda mubathroom.

"Thank God you're fine," akadaro


achindipa hug kwakutondisimudza
tichipinda mubedroom. Ndakaona
mubedroom muna Dr Audy ndikati
changamu nekuti ndaive ndakufunga
chavafambira. "Ave bho uyu Audy
sorry nekukunetsa," akadaro Leon
ndikati, "kasi ndanga ndaita sei?"

"You passed out," akadaro Leon


akugara paside pangu. "Uri sei Ropa,"
vakadaro Dr Audy ndikati, "I'm fine Dr
Audy," ndakadaro though
ndainyatsonzwa kuti something is
wrong. "Audy we need to talk,"
akadaro Leon ndokubuda naDr Audy
sare ndave ndega ndakutsvaga hembe
dzekuchinja. Leon akadzoka
ndatopedza kupfeka ndikati, "kasi
ndaita sei?"

"Inga ndati wafenda hence i called a


doctor apa ndanga ndakuisa mutub
nemvura shoma kuti ukasire kumuka,"
akataura ane kamwe kamood ndikati,
"fine good night." Nguva dzanga
dzatofamba zvekuti vana mama vanga
vatorara. "Rega ndokutorera food
yako," akadaro ndikati, "don't bother
yourself handina nzara." Haana
kutaura neni akabuda ndikazoona ave
kudzoka netray ine chikafu.
Ndakangoti nyobvo nyobvo zvekuda
kumufadza because appetite ndanga
ndisina.

"How far Ropa?" Akaita seari


kubvunza chikwerete paphone Kyle
ndikangoti, "mangwana." Ndaitozivaka
nyaya yacho, "hapana ati
akususpector kuti une nhumbu?"
Akabvunza ndikati, "not yet."

"Not even Leon?" She asked ndikati, "i


don't think so but nezuro akambotaura
zvemasungiro sometimes anoita
seanoziva kuti ndine nhumbu asi ari
majokes."

"Itsotsi munhu wake anenge akuziva


chokwadi asi akamirira kuti umuudze
wega," akadaro ndikati, "ndichataura
naye mangwana ndabva kunobvisa."

"Only God knows how you're going to


celebrate your birthday after an
abortion," akadaro ndikati, "ndezvako
izvo." Hatina zvakawanda
zvatakazotaura ndokubva ndarara. The
following day was Friday and my
birthday so ndakakasira kumuka
ndikagadzirira vekubasa vaiti
vachakasira kudzoka toita party.
Ndanga ndaramba party yevanhu
vakawanda ndikangoti mafamily
members and those close family
friends chete. Vanhu vachienda
kubasa ndakasara ndichibudawo
ndakananga kuclinic. Ndaive
ndambofunga kuzvibvisa ndega
ndichitevedzera zvandaive ndaona
painternet but ndakatya risk
yekuzvikuvadza ndikati ndiende kune
vanoziva.

Luckily ndakasvika doctor vari free


and vanga vasina nguva yecounseling
samai vaya. Vaigona mari yavo chete
ndokutotanga kuita basa ravo. "I'm
sorry baby," ndakadaro procedure
yatanga. I felt guilty zvekuti
ndakamboda kuchinja pfungwa
ndonoudza Leon chokwadi but it was
too late. Only a day was left kuti three
months dzikwane so kamwana kanga
kave kuumbika. Ndakakakumbira
kukaona but kaisatarisika kaviri
kakaita kunge kagonzo. Ndakanzi
nadoctor ndimbozorora for thirty
minutes ndokuzoenda kumba when
everything was done.

Ndakasvika kumba ndichinzwa kupera


simba muviri wese ndokungozvikanda
pabed ndikarara. Ndakazomutswa
naNatty achiti auya kuzogadzirira
birthday. "I'm feeling dizzy maiguru,"
ndakadaro ndichizvimanikidza kumuka
ndikademba kuti dai ndaibvisa after
birthday. "Ko ndakanzwa namama kuti
makaita shopping nezuro apa hapana
chamakatenga wani?" Akabvunza
ndikati, "nezuro ndakazorwara mutown
Leon ndiye anotoziva kuti zvakafamba
sei."
"You're not serious isu tiri kutoda
zvekufara imi muchitoita mafunnies
mainini. Simukai tiende kutown,"
ndakazvimanikidza kusimuka
paakadaro ndokungonogeza kumeso
tikapinda mutown. Thankfully
ndaitofamba zvakanaka because all
along ndaifunga kuti ndogona
kukamhinha semunhu abviswa
humhandara. Ini ndini ndaingofeeler
kuti something was amiss. Tadzoka
kutown ndakawana mumba
matodecoratewa naTee, i was
surprised because ndaisatomufungira
kuti anogona kutoita zvinhu zvakanaka
nemoyo wese. Hapana chikafu
chakawanda chakabikiwa nekuti
paigochewa so in no time tanga
tatopedza zvemapoto ndokunogeza.

"Wow!" Ndakadaro ndakabata dress


raive pabed ranga ratumirwa naLeon
ari kubasa. Handizivi kuti
ndaizongocha nevamwe sei ini
ndapfeka that long dress. "Maybe ane
plan," i thought to myself. Kuchingoti
zvarara vanhu vakatanga kusvika
vakawanda zvekuti ndakatoshaya kuti
masahwira ekwaChika akawanda
zvakadaro asi vazhinji vacho
ndaivaziva zvangu.

"Oh my my my someone is looking


beautiful today," akapinda mubedroom
achidaro Leon and i couldn't stop
smiling. "I used to think that my mom
was the most beautiful lady in the
whole world but i was wrong." Chiso
ndanga ndinacho asi masasi aLeon
anga anyanya ndikabva ndamuti,
"enough man handidi kuseka too
much i will spoil my make up you
know."

"Munhu mutema so? Rega ndinogeza


wosara uchinditarisira chekupfeka but
not something formal," akadaro
achienda kubathroom ndokumatisira t-
shirt nejean zvaimatcher nedress
rangu. Ko handiti ndizvo zvaiita
macouple mazhinji chero aive
downstairs. Kunyangwe kuchurch
vamwe waivaona vakasonesera
maAfrican attire emucheka necolour
yakafanana votoita sematwin ivo vari
couple saka hapana chaishamisa
kumatcher hembe naLeon. Taifanira
kuenda downstairs tese so
ndakambopinda mubathroom iye
akuchinja ko marriage yedu yanga iri
serious hapana aionera umwe.
Achipedza kupfeka akandidana
tikaenda downstairs takatyokerana
maoko sevanhu vari murudo.
Ndakademba kuti dai panga pana
someone wekumba kwedu zvino vanhu
vacho vaive vati hazviite kuti ndine one
week ndaroorwa votondishanyira.
Vanhu vakambotanga vafara
nekugocha ndokuzondiimbira ndave
kucheka cake. Tapedza zvecake Leon
akanditora tikamira pamberi pevanhu
akatanga nekutenda vanhu and stuff
ndokuzoti, "sekuziva kwenyu good
news is worth sharing. My darling wife
is a little shy so she couldn't master
the courage to tell you the good
news." Ndakamutarisa ndiri serious
ndichishaya kuti good news dzipi
dzaireva dzandainyara kutaura. "As I'm
speaking my wife and i are expecting,"
akambonyarara akanditarisa
achismiler but hana yangu yanga
yakurova zvisina order and my whole
body was shaking. "Yesterday
takaenda kuscan, take a look at our
baby," akadaro achitora remote and
switched on the television. Panga pane
scan report yemwana and i recalled
everything ndokubva ndatoziva kuti he
had spiked my juice akaenda neni
kuscan ndiri intoxicated. I'm the most
luckiest man on the earth ndakaroora
Maka akafa nemwana wangu hama
dzake ndokubva dzandipa Ropa zvese
nenhumbu yake as compensation. I'm
very lucky right?"

End of chapter
[5/29, 8:38 PM] Rue M: Dilemma

Written By Rue M
0788357900
Chapter 20

Last free chapter

Ropafadzo

Before i could react ndakadirwa


mbama yandakashaya kuti yakabva
nepi. "Careful!" Ndakazopatika ndave
mumaoko aNatty. Ndaive ndapotsa
ndadonha akandigamha. "Mhamha
musamurove kani, she's pregnant,"
akadaro Leon achibata mai vake
ndikaziva kuti ndivo vaive vandirova.
Liam akadismisser party kukasara
mafamily members. Zvekunyadziswa
pamberi pevanhu naLeon zvanga
zvisina basa asi ndaiti ndikafunga kuti
makuseni ndaive ndaita abortion
because of him mweya wangu waita
sewakupera. Dad vake vanga
vasingade zvemadrama
ndakangovaona vachisimuka
vachienda upstairs sare ndoitwa
sendichadyiwa nemukadzi wavo. "How
could you Ropa?" Vaidaro
vachindidhonza dhonza ndokuzobatwa
nemwanasikana wavo. Matarisirwo
andaive ndaitwa nehama dzaLeon
aisamboda kumirira kuudzwa kuti
ndifambe fambe.

"I'm a failure baby," ndakadaro


ndakatarisa mwana wandaive ndabvisa
that day paTV screen yaMai Chika. I
had a perfect loss, ndanga ndaloser
mwana naLeon at once. "Where is
Leon?" Ndakabvunza ndaona kuti
vanhu vaive vangoisa concentrate
pandiri kukanganwa kuti vane mwana
ane depression. Ndaive ndamutarisa
pane vamwe ndikamushaya. "Leon!"
Vakadaidzira vachienda downstairs
mama.

"Mai Tapiwa vakazvitaura paya zvikaita


sezvisina basa hezvo nhasi ndezvipi.
Kudai makatora Tapiwa zvaive nani
nekure. Ndakambozvitaura kuti
mukadzi wakadzidza wamada
achakuparira, matsotsi vanhu ivava.
Mwana akangara three years abroad
pasina mubereki motomutora kumuita
muroora," vanga vawana
pekundibatira tete Hellen. Ndanga
ndisina simba rekuvapindura sezvo
ndaisada kuvapembedza but vakati
havanyarare vakapfuurira mberi,
"ndotorevesa Liam akatora mukadzi
anga asingazive kana door rechikoro
zvaro chero kuti mafuta aizorwa sei
aisaziva isu tikamudzidzisa tega nhasi
haatinetse kwete aya varoora venyu.
Makambomuonepi munhu anomukira
kugeza otoita make up nekuchena
pasina kwaari kuenda. Varume vega
ndivo vakazara mudeehenya rake."
Ndakavasiya vachitaura ndikaenda
kubedroom. Ndaida kupacker
zvihembe zvangu ndorova pasi asi
misodzo yakanditonga ndikagara pasi
ndichimbocgema.

"Do i have to call your family or muri


kuendako mega?" Akapinda
mubedroom achidaro Liam
ndikatoshaya kuti ndivo bamukuru
vandaiziva or pane zvavapinda. "You
don't have to call anyone ndokuziva
kumba," ndakadaro ndichisimuka
nekupukuta misodzi.

"Why did you do this to my brother?"


Akabvunza nehasha dzekuda
kutondirova asi handina kumupindura.
"Oh great you don't have anything to
say after breaking his heart,"
ndakambosiya zvandaiita ndikati,
"bamukuru..."

"Don't call me that, we ain't related


now," akadaro ndikati, "fine then. First
and foremost i can't break a heart that
is already broken, secondly your
brother never considered me his wife
instead he was looking for excuses to
break up, thirdly I'm not pregnant and
I'm leaving this house got it!"

"Usandikwidzire voice uchitaura


rubbish," akadaro ndikati, "why not?
Who gave you the right to question
me? Leon ndiye wandingadai
ndichitaura naye not you." Vakuru
vaive vakanyepa kuti chokwadi
hachiputse hukama. Chokwadi
chinoparadza zvese kuti tsvai even
respect.

"What's wrong with you Liam?"


Akauyawo achidaro mukadzi wacho
zvikanzi, "anoda kutondijairira munhu
uyu." Only God knows kuti dai iye aive
Leon ndaiitwa sei. "Siyana naye kani
handiti she's going," akadaro Natty
ndikasara padiki kuseka nhamo
serugare. Hazvitore nguva kuti uone
matrue colours evanhu. Natty anga ari
sweet uya anga atove bitter
asingachade kutaura neni.
"Can you imagine kuti even after scan
reports ari kuti haana nhumbu?"
Handina kuda kunzwa reply ndikatora
dress rangu ndikanochinja
mubathroom ndikadzoka vabuda.
Ndakatora handbag yandaive ndaisa
zvinhu zvangu ndokubuda
mubedroom. Ndakawana vanhu
vakagara musitting room pasina
aitaura neumwe mama vachingondiona
vakasimuka fast vachiuya pandiri.
Vakandibata collar ndokuti, "if
anything happens to my son because
of you Ropa..."

"What will you do then!" Ndakatarisa


kwaive kwabva voice ndikaona ari
Nashe naAnashe. Vanga vasvika at the
right time chero ndaiziva kuti
vachandishura kumba but at that time i
truly needed a shoulder to lean on.
Ndakamhanya kuna Nashe
ndikanochema ndiri paari.

"Say it ma'am, what will you do to


her?" Anga akatotsamwawo Nashe
zvekuti for a moment ndakashaya kuti
aive anzwa nyaya nani and how. "After
what your sister did, you still have the
audacity to come here and scream at
us? How dare you!" Akadaro
achisimuka Liam zvikanzi naNashe,
"hold her Anashe." Anashe akandibata
and Nashe started approaching him as
if he wanted to start a fight.
"What's going on bro?" Ndakabvunza
Anashe because ndanga ndatove
confused."Firstly your wrecked
brother didn't deserve my sister at all
at all but because of Makanaka we
were compelled to give you Ropa
handiti. Actually we forced her to
marry your satanic brother hence
haana kuzowana mukana wekutaura
kuti nhumbu haana kubvisa and we
were basing on the medical reports
that we saw kuti Ropa akabvisa
nhumbu. I admit akauya pano ane
nhumbu and because she wanted to be
a good wife to that good for nothing
husband she had to abort her baby. I
received a call from Dr Audy today and
you can ask if you want, andiudza kuti
aona Ropa achibviswa nhumbu. You
guys can't see anything beyond Leon
that's you put all the blame on her.
Fine fine toti Ropa was wrong, what
was the need of embarrassing her in
front of everyone and that too on her
birthday?"

"Let's go Nashe, they'll never


understand you!" Akadaro Anashe
zvikanzi naNashe, "hatitomborwadziwe
kuchengeta Ropa so musade kuona
semanga matiitira favor." Disaster
ndoiziva ini, as if that scandal was not
enough takati takubuda ndokubva
taona brother Leon vanga vanetswa
nekutsvagwa vachipinda mumba
naBee, ndaive ndakumuziva Bridget
ndanga ndakamuratidzwa naNatty.

"And she?" Vakabvunza vatete vake


zvikanzi naLeon, "Bee andiphonera
achiti and nhumbu so it's better kugara
naiye ane nhumbu yangu than kupihwa
mukadzi ane nhumbu nechirwere." I
guessed Nashe was waiting for
something like that kuti atange fight
because akadonhedza handbag while
rearranging Leon's face. Akakasira
kubatwa ndokubva tazorova pasi.

End of chapter
Now on sale for 200RTGS or R50 cell c

Ecocash- 0788357900 R. Mbombi

Buddie airtime- 0788357900

Cell c airtime- 0788357900

Inbox 0788357900 with proof payment


wobva waiswa musubgrp
muchasvikira book 6 chapters per
week.

PDF CREATED BY LORITY ARTS-


0712487424

You might also like