You are on page 1of 10

EDUFRICANA.

COM
GRADE FIVE
WEEK 3 & 4 SHONA WORKBOOK

NAME _____________________________________

CLASS ______________________________________
VERENGA NYAYA INOTEVERA UNGOPINDURA MIBVUNZO
INOTEVERA.

Seka urema wafa


Mukomana anonzi Chamonorwa aive nepamuromo. Aigara achitaura
zvekudenha nekugumburisa kana kuti kushatirisa vamwe. Aiti kana
akaona musupe ainzi Mugove oti, “Mhorozve nhai murungudondo,”
Musupe kana kuti musope munhu mutema ane ganda jena kunge
remurungu. Izvi zvinokonzerwa nekushaya hutema muganda rake. Bva,
Musupe munhu akangofananawo nevamwe vanhu mune zvimwe zvese.

Zvino rimwe zuva Chamunorwa achiraura mudhamu akarumwa


ndokudimburwa rimwe gumbo negarwe kana kuti ngwena. Nhasi uno
Chamunorwa ave kurarama nohurema. Vanhu vanomuona achifamba
nemadondoro achikamhina negumbo rekuruboshwe chete vanoti
nechemumoyo, “Seka urema wafa.” Iyi itsumo inotitsiura kuti
tisashungurudza nekuseka vamwe vanhu nezvavari nokuti rombo
rakaipa rinogona kuwira munhu wese mupenyu.
PINDURA MIBVUNZO INOTEVERA
1. Ndiyani ainzi aiva nepamuromo munyaya iyi?
2. Musope aitaurwa munyaya iyi ndiyani?
3. Musope munhu akadii?
4. Chii chinokonzera kuti munhu ave musope?
5. Seiko Chamunorwa aiti murungudondo kuna Mugove?
6. Chamunorwa akazopinda mupfumvu yei?
7. Chamunorwa akarasikirwa negumbo ripi?
8. Rimwe zita rekuti garwe ndayani?
9. Zvino Chamunorwa ave kufamba sei?
10.Iwe wadzidzei kubva munyaya iyi?
TSUMO
Pedzisa tsumo dzinotevera.
1. Seka urema __________________________________
2. Kuziva mbuya _____________________________________
3. Chimwango chekukumbira hachina ___________________
4. Chembere mukadzi hazvienzani _______________________
5. Kandiro kanopfumba kunobva _____________________
6. Mbudzi kudya mufenje hufana_____________________________
7. Chitsva chiri _________________________________
8. Mwana asinga chema _________________________
9. Mwoyo muti _________________________________
10.Kure kwegava ___________________________________
KUSHANDISA MAVARA MAHOMBE
Nyora zvirevo zvinotevera patsva uchiisa vara hombe panokodzera

1. mumwe mutauro wemuzimbabwe unonzi chikaranga


2. mazuva ano ndiri kudzidzira kutaura chindevere
3. munyika yamalawi munotaurwa chinyanja
4. mutauro wechingezi ndiwo unonzi futi chirungu
5. mudzidzisi wedu anonzi mai gumbo
6. great zimbabwe inowanikwa kumasvingo
7. zimbabwe inyika ine huchi nemukaka
8. musha wavo unedzimba dzakanaka
9. bulawayo,gweru,kwekwe nemasvingo maguta ari muzimbabwe
10.chirongo ihari yekucheresa mvura
ISA MAZWI ANOTEVERA MUUZHINJI
1. dununu _______________________________________
2. diro _____________________________________________
3. bimha _______________________________________________
4. roro _______________________________________________
5. demhe __________________________________________
6. gwati ______________________________________________
7. nyeredzi ___________________________________________
8. nyenganyenga ______________________________________
9. dumba ____________________________________________
10.fafitera ____________________________________________
IPA MAZWI ANOPESANA
1. tsinzinya
2. manheru
3. kachembere
4. nonoka
5. mambakwedza
6. kunyunyuta
7. kuremekedza
8. kupuwa
9. hombe
10. kuenda
MBEVEVE NEMATSI
Verenga ndima inotevera ugopindura mibvunzo inotevera

Mbeveve kana kuti chimumu munhu asingagone kutauta. Kazhinji


mbeveve dzinenge dziri matsi kana kuti burunzeve, kureva munhu
ane nzeve dzisinganzwe. Kutaura kwembeveve nematsi
ndekwekutaridza vachishandisa nhengo dzemuviri kunyaya maoko,
chanza neminwe. Chinonzi chanza mukati memaoko munoshandiswa
kubata zviro.

Mazuva ano matsi nembeveve vari kuenda kuzvikoro kwavanodzidza


zvidzidzo zvimwechetezvo nevasina hurema. Zvakare tese
tinokurudzirwa kudzidza mutauro wembeveve nematsi tigonzwisisa
pese patinosangana navo. Kudzidza mutauro uyu kwakakosha
sekudzidza mimwe mitauro yakaita seNdebele kana Chinyanja.

Pindura mibvunzo inotevera


1. Munhu anonzi mbeveve ane hurema hwei?
2. Nderipi rimwe izwi rakafanana nerekuti mbeveve.
3. Munhu anonzi matsi munhu akadii?
4. Matsi munhu akadii?
5. Mbeveve dzinotaura sei?
6. Kuve matsi kana mbeveve kunotadzisisa kutaura here?
7. Vanhu vanokurudzirwa kuita sei?
8. Chiiko chinonzi “chanza”?

NYORA KUTI CHOKWADI KANA MANYEPO.

1. Vanhu vanokwanisa kurima nguva dzerukungurima.


2. Zhizha mumwe mwedzi wegore.
3. Gore rine mwedzi gumi neumwe.
4. Nyamavhuvhu mwedzi unozivikanwa nemhepo zhinji.
5. Huku dzinogara mumba nevanhu.
6. Nyuchi dzinogara mumukoko.
7. Vanhu vanorima mumwaka weChando.
8. Vakadzi havaroorwe mumwedzi waMbudzi.
9. Chisi izuva rekuzorora
10. Vana vazhinji vanoenda kuchikoro mangwanani.

RONDEDZERO
Nyora rondedzero ine mazwi zana pamusoro pemumwe munhu ane
hurema uchitaura izvi:

 Zita remunhu iyeye nehurema hwaanahwo.


 Kwaanogara nemhuri yake
 Zvaanoita iye pachake uye zvaanoitirwa nevanhu
zvinomuraramisa.
 Dzidziso yazvinopa kune vamwe vanhu

MIDZIYO YAAMAI
Mudziyo Basa Romudziyo
1.Shambakodzi ______________________________
2. hadyana _________________________________
3. gapu ______________________________
4. mbiya _________________________________
5. gate ________________________________
6. pfuko _________________________________
7. denhe ________________________________
8. Chirongo ______________________________
9. mugoti ____________________________
10. mutsvairo ________________________________
ZADZISA NENYAUDZOSINGWI YAKAKODZERA.

1. Kunze kwaiva kwakasviba kuti ____________________


2. Mwana akaramba anyerere kuti ___________________
3. Mukanwa mangu makati _______________ kuoma.
4. Akati _____________kufunga achibva aridza tsamwa.
5. Mwana aive akati __________________ kutota.
6. Saga raiva rakati_____________kuzara nemapfunde.
7. Tsuro yakati _______________ nechigwenzi tikasaiona
8. Mheni yakati ____________________mumba muchibva machena.
9. Zvidhakwa zvaive zvakati _______________________ pasi
pemuchakata.
10.Pfumo rakasvikoti ____________________ padumbu renzou.

You might also like