You are on page 1of 663

Aka Shyleen

*NYARADZO*
---------------------
First Unedited Published by Aka
Queen Copyright © 2018 by
Shyleen Mutembwa All rights
reserved. No part of this book
may be reproduced or transmitted
in any form or by any means,
electronic or mechanical,
including photocopying,
recording, or by any information
storage and retrieval system,
without permission in writing from
the copyright owner. This is a
work of fiction. Names,
characters, places and incidents
are either the product of the
author’s imagination or are used
fictitiously, and any resemblance
to any actual persons, living or
dead, events, or locales is entirely
coincidental.

**********the beginning*********

*NYARADZO ShortStoryWritten
bySHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 01*
Mom muri kuzviona here? zviri kuita
Nyaradzo wenyu uyu nezuro
ndakamupa mbatya dzangu kuti
awache asi handisi kuona kana
nhumbi imwe chete zvayo
yakachena.

Mom huyai muone mashura chaiwo


ari muno mumba nhumbi dzose
dzine mavara apa mabraa angu
nemapants akatodzosera zvake
muwashen basket zvakasviba
kudaro saka ndinoenda sei
kuchikoro kwacho mafriends angu
ari kutofona izvozvi achiti Trish
wanonoka kuchikoro
munongozivawo kuti kwaMutendi
boarding school kure.

*Step mom:* Nyaradzo anodhuva


kuda kudya sitereki izvozvi
akahwanda kuseri kwemba achidya
chikafu chenyu chekuchikoro
Nyaradzo ishit yemunhu

Ndizvo zvinoita mwana wehure


haana kurairwa ari kupi Nyaradzo
wacho ndimuponde ponde izvozvi
ko aizotadza kuwacha sei nekuti
ndatobata makeys emota kuti
ndibuda nemi kuenda kuchikoro
izvozvi Nyaradzo urikupiko unoita
kunge wakarumurwa nesadza
mwana waAlice iwe.

Me : *mhaaaa ndanga ndiri bzy


kudira chikafu chehuku muchii
muchii muchiii muchirugu mamuka
sei mom ndanonoka kunzwa inzwi
renyu apologize mother*

*Step mother *: Handisi mai vako ini


Nyaradzo ndakati kudiiko nevana
vangu vatatu ava vandakapiwa
naMwari handina kuita
zvekusimikiwa kuvaporofita
zvakaitwa mai vako kuti iwe uvepo
.How many time ndichikuudza kuti
stay out of trouble handidi zvangu
kupara ngozi nekuti iwe
ndinokutswanya tswanya kunge
nhunzi ndinogara ndichitaura kuti
vana vangu vatatu ava ndivo
vawakagarira pano pamusha dai
zvisiri izvozvo iwe Nyaradzo
uchitofamba nestreet yemuno
muKwekwe usataura neni wakamira
apo.Kasira kurongedza mbatya
dzevana vangu izvozvi unomisa
kushata kunge mai vako ko hauna
kuwacha nhumbi dzevana vangu sei
unofunga kuti vanoenda kuchikoro
sei .

*Me* : Ndakawacha wani mom ko


ndedzipi nhumbi dzandakasiya
kunze kwemapanta nemabraa inga
Trish akandipa mauniform ake
nedzimwe mbatya ndikawacha wani
inyaya yekuti ndaida kurongedza
nhumbi dzaTravor uye chikafu
chake mutrank apawo Tanaka ainge
andipazve rimwe basa rekuita saka
ndainge ndawandirwa nebasa mom
ko madii matsvaka musikana
webasa andibatsirawo
ndarerukirwa.

*Step mom* futseki apo taura neni


wakapfugama kwete kundimirira uri
musoja here? iwe kana uri musoja
wadii kuzvibatsira tiona ende
wakapusa mwana waAlice iwe basa
ndiro rekutevera magarden boy
kuno kuMusasa park uchirariwa
chete like mother like daughter
ndizvo zvaingoita mai vako izvozvi
tiri kuchikoro kungotevedza varume
chete chikoro vainge vasingaoni
chero pane bord zvaro ndinoshaya
kuti mai vako vainge vawana basa
reuDoctor sei munhu aingova dofo .
Nyaradzo unofunga kuti
ndingatambisa mari yangu
ndichitsvaka house girl wekudii
pano ko iwe unozoita basa rekudya
chete here kasira kusimuka ipapo
urongedzere vana vangu
ndivaperekedze kubhazi izvozvi
vanoda kuenda kuchikoro benzi
remunhu dai wati kunyangara kani
iwo maziteya bhenda bhenda .
*Trish* gegede mom mazondisetsa
kani hanzi mateya ende matuka
munhu nechokwadi anozviitisa
mwana iyeyu ndosaka asina kuenda
kana kusecondary zvako makagona
mukamusiisa chikoro panzira grade
seven kutambisa mari kuendesa
Nyaradzo kuchikoro nxaa.
Ndakapinda mumba misodzi
ichiyerera nematama. Ndikasvika
ndichitora pikicha ramai vangu
kunyange zvangu ndainge
ndisingavazivi sezvo mai vangu
vakafa zuva ravakandizvara.

Ndakakwira pachair ndikatora


pikicha yamai vangu yaiva
mumadziro yavakatorwa pamwe
chete nababa vangu gore
ravakachata vachiri mukomana
nemusikana.Ndakagara pasi
ndichichema ndakatarisa zvangu
pikicha iyi ndichiti mother why are
so wicked ko makafuratira moyo
wenyu muchindisiya ndiri rusvava
apa makandisiya muruoko
rwaDecibel amai makandisiira
nhamo .Ndinozama kufadza step
mom vangu asi havatendi chose
chandaita vanoti ndiri wrong saka
ndoenda kupi muno muKwekwe
handina kana hama yenyu
yandinoziva zvayo.Ndiri pakati
pekuchema ndakanzwa kuti
Nyaradzo kasira mhani iwe tamira
negumbo rimwe.
Zita rangu ndinonzi Nyaradzo
Alufaya.Ndiri musikana ane makore
17 ekuberekwa .Ndakakura
ndichigara nababa vangu nastep
mother kuMusasa park in
Kwekwe.Step mother vangu vakaita
vana vatatu nababa vangu mukuru
wacho aitevera ini anonzi Trish
kuchitevera Tanaka wekupedzisira
mukomana anonzi Travor .Mastep
sisters angu aipinda chikoro
kuboarding school kwaMutendi asi
vaiuya kumba every weekend
uyuwo Travor apinda grade 7
mukwekwe mekare saka pamba
taiswera tiri vatatu nekuti baba
vangu vaienda kubasa sezvo
vaishanda kuMinistry of health.

Muninina wangu Trish aiva nemuviri


muhombe zvekuti wakamutarisa
waifunga kuti mukuru kwandiri izvo
aiva mudiki negore rimwe chete
sezvo mai vangu vakashaika baba
vangu vakasara vachiroora bhururu
wamai vangu mai Trish saka hatina
kusiyana zvakanyanya naTrish
naTanaka sezvo step mother vangu
vakakurumidza kuzvara vamwe vana
mushure mekunge mai vangu
vashaika zuva ravakandizvara.
Baba vangu vaindida chaizvo
mazuva ekutanga asi nyaya yose
yakatanga ndasvika grade seven
ndaiti ndikamhanyira baba vangu
vachibva kubasa vaisimudza vamwe
vana vose ini vondisiya
ndichitevera kumashure.Kunyange
baba vangu vaitenga masweets ini
havaindipa zvachose saka kubva
ipapo ndakaona sarudzo yekuti
baba vangu yainge
vasingachandifariri
zvachose.Ndairohwa zvose
nekunyimwa chikafu asi baba vangu
havaitaura chinhu .Munhu aindida
pamba apa ihanzvadzi yangu
Travor ndiye ega aiva netsitsi neni
nekuti mamwe mazuva ndairara
muchirugu chehuku ndakarinda
mbavha sezvo huku dzastep
mother vangu dzakambobiwa
ndikarohwa ndichinzi Nyaradzo
ndiwe une zvikomba zvako
zvakatora huku muchirugu
especially maguarden boy zvino
Travor aizonzwa tsitsi kana ndapiwa
punishment yekusadya chikafu
kwemazuva matatu.
Rimwe zuva ndakanyimwa chikafu
ndichinzi mai vako vaishaina
chaizvo fanika zuva ravakachata
vakandishandisa vachindiita best
girl wavo nababa vako
vachindiratidza engagement ring
vaiona kunge zvinoshamisira
sitereki manje chisheedzaka mai
vako vauye kubva kumakuva
vakupe chikafu .

Ndaizama kukumbirira mai vangu


ruregerero asi mainini havaiterera
mashoko angu.Ndaigara
ndakaudziwa mashoko makukutu
pamusaka pamai vangu zvairatidza
kuti step mother vangu vaiva
nebundu guru pamoyo wavo uye
vainge vakavenga mai vangu
zvakanyanyisa.

Zvino panext door pedu paiva


nezimugwavha ziguru rainge
rakatsvuka .Ndakakwira pawaya
ndichinanavira maGwavha kusvika
muridzi wepamba adongorera
akaramba akanditarisa
.Ndakapfugama pasi chaipo ndikati
accept my apologize mother handisi
mbavha asi ndakuvara nenzara
ndava nemazuva ndisina kudya
chinhu .

Mukadzi uya ainzi mai Patronella


akandisheedza padhuze akati
Nyaradzo huya apa. Ndakatanga
ndatarisa mativi ose sezvo step
mom vangu vainge vasingadi kuti
nditaure nemanext door.Mai Petty
vakandisheedza vakati Nyaradzo
enda nekugedhe Petty anokuvhurira
wobva wapinda .Ndakafara zvikuru
ndichisvika nekupiwa mafresh chips
uye drink .Mai Patty vakadzungudza
musoro wavo chidonhedza misodzi
vakati Nyaradzo unoziva here kuti
mai vako vaiva Doctor imba iyo
isimba ramai vako nhasi ndafunga
kukuudza chokwadi nekuti
ndarwadziwa zvikuru nezviri kuitwa
namai Trish ko kuchikoro haisi
kuenda nei.
Ndakayerera misodzi ndikati
kuchikoro handisi kuenda nekuti
mainini vangu vanozoshaya munhu
anovabatsira basa.

*Mai Patty* : Eish kushata moyo


rudzii ikoko kweumwe munhukadzi
asina kubvira avaka imba iyoyo
kana mashop ose ari mutown
mukwekwe akanyorwa zita ramai
vako kuti Alice Chipezeze vhunza
chero baba vako vakuudze isu
tinoziva chokwadi chose zita ramai
vako rakarambidzwa kucourt chaiko
kuti richinjwe nekuti mai vako
vakachata white wedding.
Ndakatarisa mai Petty kumeso
kwavo moyo wengu uchirwadziwa
ndikati its okay, amai maita basa
nechikafu chamandipa regai
ndiende zvangu step mother vangu
vasati vadzoka kutown kwavaenda
kundotsvakira vana vavo
mauniform.
Ndichivhura Gedhe Petty
akamhanya achitevera kumashure
kwangu akati Nyaradzo ndinoda
kuita shamwari yako kubva nhasi.
Tora hembe dzangu idzi undopfeka
zvako kana ukashaya chimwe
chinhu feel free kundiudza.

Ndakapfugama muvhu chaimo


ndikati Petty ndipe ruoko rwako
.Ndakanokora mavhu ndakatarisa
mudenga ndichiti Mwari komborerai
mwana uyu uyezve muwedzerei
njere dzake dzechikoro dzidarike
ipapa.

Petty akanditarisa kumeso kwangu


ndikaona ava kuchema
.Ndakapukuta Petty misodzi ndikati
usachema zvako ko sei uchitambisa
misodzi yako uchitadza kuzochema
misodzi yemufaro nezuva rako
regraduation wapasa
zvakanyanyisa.

Ndakanhonga bag rehembe


dzandainge ndapiwa naPetty sezvo
ndakaona mota yastep mother
vangu yachiti nzvesu ichibudira
pakona pedurawal apa ini ndainge
ndisiri mugedhe .
Ndakadzana dzana ndikati nhasi
zvangu ndinourayiwa dai Petty
arega zvake kundipa hembe dzake.

*Step mom * : Madam Nyaradzo


muri kubva kundopemha mumaraini
kuti ndirehwe nevanhu vose vekuno
kumayard handiti .Trish naTanaka
shandirai munhu rova Nyaradzo
chero zvamunoda.

*Travor* Mom, mukarova sisi


Nyaradzo tinosvitsana kure i swear
to God muchatorova neni pano
pamba munofunga kuti handizvizivi
chokwadi here chekuti Nyaradzo
anonyimwa chikafu pano pamba
ndikazvitarisa iwe Trish naTanaka
hamugoni chikoro zvinoita
Nyaradzo futi makaona apasa grade
seven mukaronga dhiri renyu
rekumuisira mari mubag rake
mukanyepera daddy kuti Nyaradzo
aba mari kubva ipapo daddy
vakagumbuka vakaregesa Nyaradzo
chikoro .
*Daddy* Travor dzokorora mashoko
ako awataura apa uri kureva here
kuti Nyaradzo haana kuba 500
dollars yangu yaiva mubrief case
saka nguva yose iyi ndaivenga
mwana wangu asina mhosva nhai
mai Trish sei wakashata moyo wako
kudaro Nyaradzo akakutadzirei
chaizvo ndiudze izvozvi or else.
*End of Chapter 01*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 02*
Mai Trish ndiudze kuti sei
wakavenga Nyaradzo or else
ndomuendesa zvangu kumusha
kuna mbuya vake mai vangu
andogara ikoko pane kuti agare
pano uchimubata rough i know kuti
Nyaradzo mwana mudiki dzimwe
nguva anoresva asi unofanira
kumutsiuura zvakanaka chiona
manje Travor ava kutaura chokwadi
chake chose chekuti Nyaradzo
haana kuba mari yangu asi ndiwe
nevana vako makatora mari
mukashandisa vakadaro zvavo baba
vangu vachiratidza kugumbuka.
Ndainge ndangobata murombo
wangu ndichishamisika sezvo
ndakapomerwa mhosva yekuti
ndakaba mari inoita 500 dollars
yaiva mubriefcase apa ndaiva grade
seven kubva ipapo baba vangu
vakabva vandivenga zvekusada
chero kutamba neni zvavaiita Trish
naTanaka.
Ndakachema ndakagara pavherenda
.Baba vangu vakanzwa tsitsi
vakandibata ruoko rwangu
vakaenda neni pamota yavo
vachindigadzika pasite remota.
Takaenda kutown naddy vangu zuva
iri ndikatengerwa nhumbi kubva
kumusoro kusvika kumakumbo
kutaura chokwadi ndakafara baba
vangu vachindipa rudo rwandainge
ndapedzisira kuona ndiri grade
seven.

Ndakasiya mainini vangu


vakagumbuka zviya zvekushaya kuti
voita sei asi ini ndaingoti Mwari
regererai step mother vangu nekuti
havana chavanoziva .
Ndakadzoka kubva kutown
ndachinja hembe dzandakaenda
ndakapfeka sezvo aiva
madhende.Travor akabuda mumba
achimhanya achiti sisi Nyaradzo ko
zvamachena tione hembe dziri
musatchel yenyu eish makorokoto
matengerwa uniform saka
munoenda kuchikoro rinhi uye
muchatangira form ani nhai sisi
Nyaradzo.
Kutaura chokwadi ndakashaya
mhinduro yekupindura Travor
nekuti ndakagumira grade seven
saka ndichatangira papi ndakuda
kudai.Sezvineiwo baba vangu
vainge vaita dhiri nemukuru
wechikoro chinonzi Rufaro high
school chiri kuMbizo 16
ndikawanirwa nzvimbo yeform
1.Chero ndainge ndisina zvangu
kuenda kure nechikoro asi ndaiziva
kuti ndinorwisa potse kutokurira
vamwe vose vaienda kuchikoro
nekuti njere ndinadzo dzakarodza
chaizvo.

Ndakapinda mumba ndikati


maswera sei mom asi Step mother
vangu havana kupindura
vakaratarisa divi vachiridza
zitsamwa.Trish naTanaka
vaingopfikura kumeso kwavo
vakagara pasofa sezvo yaiva
weekend saka vaninina vangu
vaivapo pamba vasina kuenda
kuchikoro kwaMutendi kubording
school kwavaipindira apa kwaiva
kure sezvo vakatsvakirwa nzvimbo
iyi namai vavo sezvo step mother
vangu vaipinda church yeZ.C.C
Mbungo saka vakasarudza kuisa
vana vavo kuchikoro chezion.
Chikoro changu chaiva kure zvekuti
baba vangu vaindipa mari yekombi
yekuenda nekudzoka .Ndaimuka
usiku ndoita basa rangu rose
ndogeza kuti ndiende kuchikoro
.Manje baba vangu vaimukira
vachienda kubasa kuseni asi
vaitosiya 2 dollars every day yekuti
ndiwane mari yekombi .
Ndakapedza kugeza ndikati chiregai
ndichinje hembe dzangu ndiende
paroad pandaikwira makombi sezvo
nguva yainge yaenda.
Ndakatsvaka 2 dollars yangu yaiva
mubag raiva nemabhuku asi
ndakaishaya zvachose. Ndakapinda
mumba mekutandarira
ndikapfugama ndichiti mom
ndashaya mari yangu yetransport
yandaisa musatchel mamboionawo
here? Step mother vangu
vakasimuka vakandipa gwati
rembama kumeso vachiti Nyaradzo
saka uri kundipumha umbavha here
kutanga rinhi ndichitora mari yako
yebus fee kana waviga mari yako
uchida kundodya kuchikoro
ndezvako izvo.

Ndakaramba ndakabata dama rangu


misodzi ichitevedza
matama.Ndakaenda mukitchen
wanei lunch box yangu haina
chinhu .Ndakatora chigubhu
chinotonhora mufridge ndikafamba
ndichinwa ndakananga kuchikoro
netsoka zvangu apa misodzi
ichitevera matama.Ndakafunga zano
rangu ndikati ko baba vangu vadii
zvavo kundiendesa kumusha sezvo
mai vavo vachiri vapenyu
ndinoenda kundogara zvangu
kumusha pane kurarama ndiri
nhapwa pamba pamai vangu.
Ndakasvika kuchikoro zuva rakwira
.Ndakamira pamusuwo ndichitya
kupinda sezvo teacher wedu
weEnglish aiva mulesson ainzi mai
Rice uye vaiti munhu akanonoka
kupinda mulesson waisvika
uchirohwa zvigunwe neduster.Mai
Rice vakandiona vakati Nyaradzo
pinda zvako muno usatya nyaya
yako ndakaiudziwa naPetty saka
hakuna teacher asingazivi kuti
unorarama sei.
Ndakatenda mai Rice zvikuru
nekunzwisisa situation yangu
ndakapukuta maziso angu aiyerera
misodzi ndichigara pasi.Nguva
yelunch yakati yakwana muromo
wangu wainge wakaoma nenzara
vamwe vana vachidya zvavo
zvinonaka apa ini ndainge
ndichingonyora nyora pasi kuti
ndisatarisa vanhu vaidya chikafu
chavo.
Petty akapinda muclass mangu
achimhanya akati Nyaradzo ko
wauya nguvai ndakutarisa pamba
penyu kuseni ndikakushaya .Mom
vangu vandiperekedza nemota
vakandisiya pano asi
ndambokufunga kuti Nyaradzo adii
mom vangu vakazoti usanetseka
neumwe wako nekuti Nyaradzo
anopiwa mari yekombi nadady vake
everyday ko Mwari vakapindira
Nyaradzo wava kukwanisawo kuuya
kuchikoro saka zvava nane hanti
here?.

Ndakabvumira nemusoro ndikati,


yes Petty zvavanane.Bhururu wangu
akabudisa drink nemabiscuits
tikadya zvedu Petty akadzokera
muclass mavo sezvo ainge ava form
3 .Ndaisekwa muclass yangu kuti
Nyaradzo ava chembere kupinda
form 1 nezvana haunyari .Ndainge
ndisingapinduri zvangu vanhu
vaidenha asi ndaitora bhuku rangu
ndoswera ndakarara kuloan
ndichiverenga munhu aitonditsvaka
ndiye Petty zvake sezvo aisagona
kuswera asina kundiona.
Ndakaita mazuva ndichishaya mari
yangu asi baba vangu vaindipa
ndichiviga pakasiyana asi ndichibva
kundogeza ndaitoti ndishaye pondo
iyoyo manje kuudza baba vangu
zvaisaita ndaizoita kunge ndiri
against nastep mother vangu.

Ndainge ndavakuenda kuchikoro


netsoka everyday apa kuRufaro
high school kwaiva kure
zvekurevesa.Rimwe zuva ndiri
munzira ndakaona mota kumashure
kwangu ndikasuduruka kuti ipfuure
but my surprise varume vaiva
mumota vakandibata
vakandipotsera mumota yavo apa
Ndainge ndasunga muromo
nemaoko .Ndakatarisisa ndikaona
kuti varume ava hapana kana umwe
chete zvake wandaiziva chiso chake
.Ndakasvika nekupoterwa mune
imwe kamuri yaiva nerima zvekuti
handaiona zviri mukati apa ndainge
ndava kuhuta zvekuti ndakabuda
ziya muviri wose.Ndakatarisa
mudenga ndikati Mwari waNyaradzo

itai zvishamiso zvenyu


ndinokumbirawo munditarisire
mudambudziko guru randapinda iri
ndinozviziva kuti imi muri Mwari
vanoshamisa zvino Nyaradzo
asheedza zita renyu ndapedza
zvangu Amen.
*End of Chapter 02*
*QEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten
bySHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 03*

Ndakarara ndichinamata usiku


hwose ndakapfugama zvino ndakati
ndaneta ndakagara mukamuri iyi
yainge yakasviba mukati zvekuti
handina chinhu chandaiona
zvachose
Mvura yakati yonaya pakati pesiku
ndakaenda pakona ndikaungana
senyoka idzo hope dzingabata here
nekuti mukamuri umu maiva
nezvinhu zvingomhanya kunge
zvipuka hameno kuti zvii
zvaimhanyirana murima
imomo.Ndairova zvinhu izvi nebag
rangu remabhuku kana zvasvika
padhuze neni zvaiita kunge zvikiti.

Kunze kwakaedza ndikaita


zvekuvhunduswa ndichinzwa
musuwo uchivhurwa ndakasimuka
ndikamira pakona ndichiti nhasi
zvangu pano ndipo paperera
upenyu hwangu.
Ndakanzwa inzwi rechirume rakati
Nyaradzo chikafu chako icho
nedrink kana uchida kudya idya asi
kana usingadi rega ndiwe unofa
nenzara isu hatinei nazvo
ndakashaya kuti murume uyu aiva
zita rangu sei.Ndakabata spoon
ndichida kudya moyo wangu
ukaramba sezvo ndakafunga kuti
ko chikafu ichi chaiswa poison
ndikafa kei evo rega ndisadya zviri
nane ndife zvangu nenzara.

Ndakaona kuti plastic drink iri raiva


risina kumbovhurwa zvachose
ndikati yes, better kunwa zvangu
drink nekuti harina kubvira
rambovhurwa zvachose saka
mushonga wacho vanenge vamuisa
nepai .Ndakanwa drink asi handina
kuzoripedza ndainge ndava
kupukuta maziso angu ndichikotsira
kusvika ndarara hope chaidzo apa
ndakagara pakona pekamuri iyi.

Ndakaita zvekuvhunduka vanhu


vakandiunganira muMbizo 5
mustreet vachiti mwana uyu anenge
afenda nekuti ari kufemera kure
vamwe ndivo vaiti hamuoni here
kuti munhu uyu
akafa.Pandakasimuka vanhu vose
vakapandaka vachitiza asi umwe
murume ndiye akati mwana uyu
haana kufa muupenyu hameno kuti
chii chaitika kwaari hei
mwanasikana dzoka pano utore
satchel yako
yemabhuku.Ndakanhonga bag
rangu apa ndichirangarira kuti
ndakaenda kundorara mustreet
nguvai asi handina kuziva zvachose
kuti zvakafamba sei kuti ndibve
pamba paya ndichizorara mustreet .
Zvino ndainge ndava kutya kusvika
pamba nekuti ndaiziva kuti kumba
hakuna kumira zvakanaka nababa
vangu apa step mother vanenge
vachikuza nedivi kuti ndirohwe.

Ndichipinda gedhe step mother


vangu vakasheedzera vachiti
Alufaya huya uone mwana wako
ndakakuudza kuti Nyaradzo
wawafunga kuendesa kuchikoro
uchademba naye hona mwana wako
kudzoka izvozvi pamba kubva
nezuro hanzi ndiri kuchikoro
gegegede seka zvako mwana
wemuera mbizi saka ndicho chikoro
here madam Nyaradzo.

Handina kupindura step mother


vangu asi ndakapfugama ndiri
kunze kwegedhe ndichiti pliz baba
vangu ndinzwisisei ndakabatwa
nevanhu vandisingazivi ndichibva
kuchikoro nezuro manheru my
surprise ndapepuka ndakarara
mustreet kuMbizo 5 i think kuti
vanhu ava vaiva mabhinya anobata
vana asi ndazoona kuti hazvisizvo
zvavaida hameno kuti vaidei
kwandiri i swear to God am innocent
handina kumborara kumba
kwemukomana chero mukanditarisa
handizivi chinhu chinonzi murume
muupenyu hwangu ndinopika
neguva ramai vangu Alice.
Kuzodaro ndakahweturwa ruoko
nababa vangu vakaenda neni seri
kwegarage remota veduwee
ndakarohwa kusvika ndavota muviri
wose neshamhu enda baba vangu
vakagumbuka kusvika vandiudza
mashoko avainge vasina
kumbotaura kubva zvandakazvarwa.
Baba vangu vakapopota vachiti iwe
Nyaradzo ndakaona hauna
chawakasiyana namai vako dai
vasiri mai Trish vakazondiudza kuti
mai vako vaingohura kuchikoro
pamwe ndingadai ndakagara nehure
zveupenyu hwose manje
ndakazvionera ndoga mushure
mekunge mai vako vanyepa kuti vari
virgin ivo vasiri zvavo that's why
ndakasarudza kutora mai Trish
ndikagara navo ende nemakore
andakagara namai vako vachishaya
mwana handifungi kuti uri mwana
wangu iwe gadzirira kuti tiende
kuDNA test kana wandoonekwa kuti
hausi mwana wangu hameno kuti
uchaita sei unoenda kumarinda
wondochema misodzi yengwena
uchivhunza mai vako kuti vakapiwa
nani mimba yako .

Mashoko makukutu aya


akandirwadza zvekuti
ndakambofunga kuti pamwe bab
ava havasi vangu asi
ndaizorangarira mashoko amai
Petty ekuti mai vako vaiva munhu
kwaye asina dambudziko nemunhu
nyaya iripo ndeyekuti step mother
vako havakudi pamba ipapo chete.

Ndairara usiku hwose ndichichena


nekurwadziwa neshamhu
dzandairohwa nababa vangu.Rimwe
zuva Petty akauya zvake ndakagara
mugarage pamvuri wemota apa
ndainge ndaneta manje nekusuka
mota sezvo yaiva weekend zvoti
dzungu randainzwa hameno kuti
chaiva chii chaiitika kwandiri apa
chando chichipinda nemuviri wangu
wose.

Petty akandisheedza rwakawanda


asi ndakaramba ndakanyara misodzi
ichiyerera nematama kusvika
andisheedza zvehasha achiti nhaiwe
Nyaradzo saka uri kureva kuti
haundioni here chinguva ndamira
pano ko uri kuchemei ndakakuudza
wani kuti stop crying no condition is
permanent .

Ndakatarisa kumeso kwaPetty


ndikati hausi kunzwisisa pane nyaya
yangu shamwari ndiudze kuti
ndichaenda kupi kana ndichibatwa
senhapwa pamba pababa vangu pliz
Petty help me before i kill myself.
*Petty* Okay, Nyaradzo ndisati
ndataura newe nyaya dzakawanda
tanga wadya pie nedrink
zvandakuvigira izvi nekuti Travor
andiudza pafence kuti sisi Nyaradzo
vari kunyimwa chikafu namai vangu
.
*Me* Okay, Petty thank u very much
asi handina zvangu appetite ndipe
zvangu ndidye kuti ufare.

Ndichingoisa chikafu mumukanwa


step mother vangu vakabuda
mumba vakamira pavheranda
vakanditarisa zvavo.Petty akatarisa
step mother vangu kumeso kwavo
akati good mrng mom Trish
Step mother vangu vakafinyamisa
kumeso kwavo vachitora chair yavo
kuti vagare panze apa vachipara
nzara nzavo.Ndakatanga kudya pie
iya ndikanzwa moyo wangu
uchimira ndikambozama kuzvidzora
asi zvakaramba ipapo ipapo
ndakamhanya kunze kwechivanze
ndichindorutsa.
*End of Chapter 03*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN the books*

*0718126818*
*Chapter 04*

Ndakapiwa pie nedrink naPetty


ndichipedza kudya ndakanzwa
moyo wangu uchimira ipapo ipapo
ndakamhanya kumacheto
kweruvanze ndichindorutsa.Step
mother vangu vakasimuka pachair
pavainge vakagara apa
vachirovanisa maoko avo zvose
nekuridza chikwee vachiti Nyaradzo
iyi yava mimba hakuna chimwe
chinhu kasira kuenda mubath
undogeza tiende kuchipatara
izvozvi.
Ndakamhanya mubath kundogeza
apa ndichichema zvose
nekuzvitarisa mberi kwangu kuti
ndakamborara nemunhu here zvino
ndainge ndozvivhunza ndoga saka
ndingava nenhumbu here uye
ndinenge ndaiita sei.

Ndakanzwa Step mother vangu vairi


mubish kufonera family doctor
vachiti ndiri kuuya nastep daughter
wangu kuchipatara izvozvi ndinoda
kuti atariswe nekuti handisi
kumunzwisisa anenge anenhumbu.

Ndakapedza kugeza ndikapfeka


mbatya dzakatengwa nababa vangu
ndikati regai ndipinda
mumota.Ndakasvika nekugara
kumberi sezvo taienda kuchipatara
tiri vaviri veduwee ndakasundirwa
kure ndichinzi hezvo haunyari kuda
kugara pamadam site here enda
kure neni uko unondisemesa inyaya
yekuti munzira mune road block
waifanira kugara muboot remota iwe
nekuti wakapusa sitereki saka
mimba yako iyoyo ndiwo maresults
eform 1 here kuda kutinyadzisa
pano pamba .
Ndakazvinzwa kudhara kuti
Nyaradzo hausviki kuchikoro iwe
unenge wakagara zvako musango
uchiita basa rekukwirwa
nevakomana chete chiona manje
wava kungorutsa ende namata
Mwari zvako nekuti doctor vakati
une mimba hameno kuti uchaenda
kundogara kupi nekuti ini
handichengeti mwana wegora
negora rake pamba pangu .
Kuchipatara kwakaita kure zuva iri
ndichitukwa kwete zvekutamba
.Ndakasvika nekugara zvangu
pabhenji remuchipatara pakarepo
step mother vangu vakapinda
mukamuri yaiva nadoctor hameno
nyaya dzaitaurwa mukati umomo
ndakazonzwa ndava kusheedzwa
ndikapinda mukati.
Ndakasvika nekutambidzwa chigaba
cheweti ndikanzi enda
undoweta.Ndakawetera mugaba apa
hana yangu ichirova zviya zvekuti
ndaingoti hameno asi chinhu
chandaiziva ndechekuti handina
kubvira ndamborara nemurume
muupenyu hwangu kubva
zvandakazvara.

Doctor vakandipa sign yekuti buda


zvako muno unozodzoka after 30
minutes ndinenge ndapedza matest
ose.Zvino ndainge ndongonamata
kuna Mwari ndakagara panze
pechipatara ndichiti nhai Mwari ko
chii chakaitika kwandiri .Nenguva
diki ndakaona step mother vangu
vachibuda mukamuri umu vakarova
serious ndakatevera kumota
ndichida kugara pasite asi
ndikasvika nekupumurirwa
kwakadaro apa step mother vangu
vainge vasingatauri neni.

Ndakashamisika ndikati hezvo ko


chiii futi chaitika sei mom
vachindisiya kuno
kuchipatara.Ndakataura ndega
ndichishaya kuti chii chaitora
nzvimbo

Ndakamhanya muoffice yaDoctor


ndikati pliz doctor ndiudzei kuti chii
chaitika handisi kunzwisisa.Doctor
vakanditambidza bepa vakati sorry
zvako Nyaradzo something is
happens to you ,u are 1 week
pregnant.

Ndakaramba ndakatarisa doctor


ndikati something is wrong
somewhere ini Nyaradzo Alufaya
kuita mimba here aiwa doctor check
again handina kubvira ndamborara
nemurume muupenyu hwangu am
still a virgin.
*Doctor* Ndadzokorora kutarisa
kasingaperi une nhumbu Nyaradzo
handina kuresva kuona zvachose
kana uchiti ndiri kunyepa enda
undotsvaka doctor wako wega good
day uchengetedze nhumbu iyoyo
nekuti mwana anobva kuna Mwari
usazama zvako kubvisa .
Ndakaramba ndakamira
muchipatara ndikapfugama pasi
ndichiridza zimhere chairo
ndichisheedzera kuti God are u still
there .Ndakapererwa nekuti chero
mukomana zvake handina kubvira
ndambozama kumuita muupenyu
hwangu saka mimba iyi yainge
yabva kupi nhai Mwari zvino baba
vangu vachati kudii.
Ndaifamba ndichichema
ndakananga kumba apa ndainge
ndava kutya manje kusvika
kumba.Ndakafunga kuenda kumba
kwana Petty ndikawana achitamba
zvake netball nekamuninina kake
Sasha.Ndakamira pagedhe Petty
akandiona akauya achimhanya .
*Petty * Nyaradzo hauneti kuchema
here? ko wadzoka nguvai
kuchipatara let's hope hauna
kubatwa malaria zvako nekuti
ungapinda bzy nastep mother vako
avo nekuti vanogona kukushandisa
uchirwara kudaro.
Me : *Petty Mwari vandikanganwa
handifungi kuti Mwari vachiri
kurangarira kuti vakasika munhu
anonzi Nyaradzo pano panyika*

*Petty* : Aiwa Nyaradzo nyarara


mashoko ako iwayo unozviziva here
kuti Mwari vari kukunzwa uye Mwari
havana munhu wavasingadi even
your evil step mother chii chaitika
nhai Nyaradzo God loves u my dear
friend.
Me : *Zvingaitika here? Kuti munhu
anoita mimba asina kumborara
nemurume muupenyu hwake
ndipindurewo Petty I need your
answer now*.

*Petty* Aiwa hazviitike izvo hakuna


zvakadaro. Munhu ega akaita mimba
asina kubvira arara nemurume
ndiMaria chete akazvara
Mwanakomana waMwari Jesu ko sei
wavhunza nhai Nyaradzo.

*Me* Petty ndikakuudza kuti doctor


vati ndine nhumbu chero newe
unogona kutanga kusavimba neni
kubva nhasi but trust me my friend i
never slept with any man since i
was born i swear with my mother's
grave.
*Petty* Nyaradzo who believes u in
this world .Hakuna zvakadaro hauna
kubvira wambobatiwa nemukomana
here nhaiwe.Maiwe kani saka
uchadiiko nhai Nyaradzo nyaya
yako yamira kuipa iyi ende hakuna
munhu anobvuma kuti hauna
kumborara nemurume am telling u.

Ndakabata musoro wangu ndikati


saka hazviitike here nhai Petty saka
baba vangu havabvumi here? kuti
my hands are clean saka
ndichaenda kupi.Dai ndaiziva
kumusha kwababa vangu ndaienda
zvangu pamwe mbuya vangu
vaizonzwisisa nyaya yangu nekuti
Mwari chaiye vandirasa pachokwadi
sei ndaita mimba from nowhere.

Ndakaridza mhere ndichaenda


kumba apa Petty aingodzungudza
musoro wake akamira pagedhe
pavo zvekuti akapedzisirawo ava
kuchema.

Ndakasvika pamba pedu ndikaona


bag rangu riri kugedhe
ndakambotarisa tarisa mativi ose
ndikati aikaka ko ndiani munhu aisa
mbatya dzangu kunze kwegedhe
nhai Antony .Ndakataura zvangu
ndakatarisa gate man wepamba
pedu asi Antony haana kupindura
zvakawanda asi akadzungudza
musoro wake akati Nyaradzo there's
fire in the mountain its better for u
to ran away baba vako vasati
vakuisa banga pamutsipa.
*End of Chapter 04*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 05*

Ndakasvika pamba pedu ndichiona


bag rangu riri
kugedhe.Ndakavhunza Antony gate
man wepamba pedu ndikati nhai
Antony ko bag rangu raiswa panze
nani.Ndakaona Antony
achidzungudza musoro wake achiti
Nyaradzo sorry zvako dai uri umwe
munhu watiza waenda nesango
nekuti pano pamba hapasi
kuzogarika zvachose nekuti baba
vako vari kupenga zvisingati kana
uri umwe munhu tora bag rako
uende zvako Mwari havasi benzi
vachakuchengeta.

*Me* Aiwa Antony usadaro inga


unoziva story yangu wani kuti
handina kumwe kunhu
kwandingaenda am a poor girl
ndoenda kupi kana ndikabva pamba
pababa vangu.

Ndisati ndapedza kutaura ndakaona


baba vangu vachiuya vakabata pfuti
muruoko vachiti iwe Nyaradzo ibva
pano nemimba yako.Ndakamhanya
ndichihwanda seri kwaAntony
ndikapfugama ndichiti ndapota
zvangu baba vangu handina
chandinoziva i swear with my
mother's grave kutaura chokwadi
handisati ndamborara nemurume
kubva zvandakazvarwa ndinopika
namai vangu Alice vari muvhu chero
Mwari chaiye ndiye murevereri
wangu.

Step mother vangu vakatora bag


rangu vakapotsera panze pegedhe
.Ndakachema zvekuti musoro
wakasvika
pakurwadza.Ndakanhonga bag
rangu ndikanokora mavhu aiva
panze pegedhe ndikarudza ivhu
ndichiti nhasi ndadzingwa pamba
pababa namai vangu ndichinzi
ndine mimba yandisingazivi asi
ndisati ndafuratira ndinoda kutaura
mashoko angu mashoma.
Ndakatsveta bag rangu pasi ndichiti
step mom vangu kubva nhasi
ndakonzeresa nyonga nyonga
muupenyu hwenyu uye musha
wamai vangu uyu uchatadza
kugarika hongu handizivi zvangu
pane guva ramai vangu asi ndatora
mavhu aya ndichitsiva mavhu eguva
ravo.Zvino amai ndadzingwa pamba
pamakashanda muchibuda ziya
renyu asi step mother vangu kubva
nhasi mazuva enyu ekugara pano
pamba ava kuverengeka ndini
zvangu Nyaradzo ndafamba nenyika
chisarai muenjoyer ziya ramai
vangu.
Ndakaona baba vangu vachitsveta
pfuti pasi vachidonhedza misodzi
zvekuratidza kuti vainge vava
kunzwa tsitsi.Baba vangu
vakakanda nharu nhatu vachiti
Nyaradzo dzoka pano asi Step
mother vangu vakataura zvine
hasha vachiti iwe Alufaya siya
Nyaradzo aende kumurume
akamupa nhumbu saka iwe
unofunga kuti munhu ane 17 years
angatadza kuziva munhu akamupa
nhumbu here siya zviende.

Travor akamhanya
akachindimbundikira achiti zvino
sisi Nyaradzo muchaenda
kupi.Ndakabata matama aTravor
ndichimupukuta misodzi ndikati
don't worry my dear brother Mwari
vaneni ndivo vachandichengeta
usare uchengete mom naDad
wazvinzwa here Travor be a good
boy ndaenda bye.
Ndakafamba zvangu nenzira apa
misodzi ichiyerera nematama
zvekuti i can't stop crying chinhu
chainyanya kundirwadza ndechekuti
nhumbu ndainge ndaiwana kupi.

Ndakasvika zvangu mukwekwe


mutown ndikagara papower sales
ndichiona vanhu vaikwira mabhazi
aienda kunze kwenyika .Ndakavhura
bag rangu ndikatora juzi ndikafuga
sezvo ndainge ndava kupindwa
nechando munongozivawo chando
chajuly kuti chinotonhora sei.

Hope dzakati dzabata nekudziirwa


ndakarota mukadzi aiuya kwandiri
akapfeka hembe chena .Ndakatarisa
mukadzi uya kumeso kwake asi
handina kumuziva chinhu
chakataura mukadzi uyu akati
Nyaradzo my beautiful daughter
take it, this is the egg of
life.Ndakatambira zai riya ndichiita
kubvunda asi mukadzi uya akati
usatya zvako Nyaradzo ndini mai
vako inga wandisheedza wani uchiti,
Alice don't be afraid am there for u
my little child i love u Nyaradzo.

Kutaura chokwadi ndakaridza mhere


kunyange ndaiva muhope ndikati so
its u mother ,where have u been all
along please dzokai kwandiri am
suffered enough. Ndakachema
ndichitambira zai riya asi ndakaita
zvekuvhunduswa neumwe mukadzi
aigocha chibage padhuze neni achiti
hey iwe musikana ko wava kutorata
zvako hope zvekusvika
pakuvhumuka ipapa muka ugare
pasi hauzivi here kuti unogona
kubirwa bag renhumbi iro ukashaya
chekupfeka.
Ndakagara pasi ndikati eish saka
mai vangu vanotondirangarirawo
kunyange vari muvhu kudai .Manji
amai vangu vainge vauya vakavanza
chiso chavo saka handina
kunyatsopedza chishuvo
chekuvaona mushe zvisinei rest in
peace mother even death i still love
u.
Mbuya vangu vakazvara baba
vakauya vachibva kumusha
vakasvika pamba pedu
vakagumbuka.Step mother vangu
vakamhanya vachida kugamuchira
bag asi vakapiwa rough vachinzi
nambuya vangu ko muzukuru
wangu aripi ndiye wandavinga pano.
Step mother vangu vakaseka nhema
vachiti aiwa mbuya vaTrish tangai
magara pasi vazukuru venyu vari
kuchikoro kuboarding
kwaMutendi.Mbuya vangu
vakadzungudza musoro wavo vakati
aiwa mhani handisi kuvhunza
mahure ako mhani Beatrice iwe ndiri
kuvhunza muzukuru wangu
Nyaradzo ndinoda kuenda naye
kumusha ukaona ini munhu
wechembere ndamusimuka kubva
kumusha kuBikita ziva kuti ndiri
kurota hope dzakaipa pamusaka
pemwana iyeye.

*Step mother* Mbuya vaTrish tangai


madya sadza iri tozotaura
zvaNyaradzo nekuti akatizira
mukomana wake uye Nyaradzo
akagara zvakanaka inyanya yekuti
baba Trish havana kukudzai kuti
Nyaradzo ane nhumbu taida
kuzokuudzai tauya kumusha
Hezvo unopenga here iwe Beatrice
unoti Nyaradzo akaroorwa iye
achinzi anogara achimbeya
mustreet yemuno mukwekwe
mangwana chaiye ndinoda
Nyaradzo pano pamba .Zvichibva
newe Freddy wakatora mwana iyeye
ari rusvava uchiti ndaroora umwe
mukadzi saka Nyaradzo ava
nemuchengeti manje handisi
kuzobva pano kana Nyaradzo
achigara mudondo.

Step mother vangu vakaenda


kundotsvaka munhu vakamupa mari
vakamuti unoenda pamba pedu
wondopa chembere iripo mari
woiudza nhema dzekuti ndiri
murume waNyaradzo asi iye
Nyaradzo wacho ari kusouth
akaenda kundotariswa nhumbu
yake.Zvino mbuya vangu vachinzwa
kuti ndakaroorwa uye ndakagara
zvakanaka chembere yakafara
ichiona gentle man iroro raiva
nemota apa murume uyu ainge
abhadharwa zvake zvino mbuya
vangu vakafara chaizvo sezvo
vainge vatovimbiswa kuti Nyaradzo
ari kuzoroorwa mazuva anotevera.
Zvino nzara yaiti yandibaya
ndaifamba zvangu mutown
ndichikumbira zvekudya kune
vanhu vane tsitsi zvavo kana
kwasviba ndoenda pasi pebridge
ndorara zvangu.
*End of Chapter 05*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWrittenWritt
enBy SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 06*

Ndaiti kana kwasviba ndoenda


zvangu pasi pebridge ndorara kana
kwaedza ndofamba ndichitsvaka
chikafu muvanhu.Ndakazofunga
zvangu zano kutsvaka basa kune
vamwe mai vaitengesera zvekudya
mutown.Mukadzi uya akati zita
rangu ndinotwa Madhuve kana
uchida basa riripo rekutengesa
mvura mumabhazi asi unotoita
zvekufamba uchitengesa .Semunhu
aiva padambudziko handina
kuramba ndaifamba zvangu
ndichitengesa kana ndapedza
ndoenda kumba.

Ndaigara pamba pavaMadhuve


ndichibatwa zvakanaka sezvo mai
ava vainge vasina zvavo utsinye
semunhu ainge asina mwana
vaitofarirawo kuswera neni .
Kunyange mai ava vaitambudzika
zvavo asi ini ndainge ndazvipira
kugara navo zveupenyu hwose
ndichivatora samai vangu nekuti
zvaiva nane panekugara nastep
mother. Rimwe zuva handina
kuenda kumusika sezvo ndairinda
hove dzainge dzakasikwa saka
ndainge ndakarara zvangu mumba
sezvo kunze kwaipisa.
Ndakanzwa musuwo uchivhurwa
ndikaona aikaka ko zvaari murume
wamai vandinoshandira
ndakavhunduka ndikati aikaka ko
chii futi i thought baba maenda
kubasa .
Baba vaya vakandibata zvidya
zvangu vachiti eish Nyaradzo
ufunge zvako ndakakuda kubva
zuva randakakuona .Ndakabata
muromo wangu ndikati hezvo
ndaifunga kuti muri baba vangu ini
kana ndakatarisa zera renyu why
masarudza kundiita mukadzi wenyu
ndapota zvangu am a poor girl ndiri
kutsvaka pekugara handidi zvangu
kuputsa dzimba dzevanhu.
Baba vaya vakandipata zvidya
vachipuruzvira .Ndakasundura
murume uya kwakadaro
ndikamhanya ndichibuda
panze.Baba vaya vakasara
vachidonhera pachair vakabuda
ropa mumusoro zvino murume
mukuru akatora bhandeji
akazvisunga mumusoro.

Mukadzi wandaitengesera mvura


ainzi madhuve zvino ndainge ndiri
bzy kubika apa baba vaya
vachizvitova mumusoro mavo
.Mukadzi wavo akadzoka kumusika
akati hezvo nhai Shava yangu ko
maita sei musoro wenyu
makatsvuka ropa .Baba vaya
vakatanga kunyepa vachiti
ndadonha nebhasikoro ndichibva
kurwizi kwaMuzvezve kundoredza
hove .

Ndaingotarisa baba vaya zvangu


ndichirembedza miromo yangu
ndichiti hezvo dhara guru
risinganyari kunyepa kuti vadonha
asi ivo vanga vachida kundibata
chibharo ko kuzotaura mashoko
ekuti Nyaradzo ndinoda kuti
undizvarire mwana nekuti mudzimai
wangu zvekuita mimba zvakona
sezvo tava ne10 years tiri
tose.Ndaitaura zvangu ndega ndiri
mubish rekubika sadza nehove
sezvo baba ava vaiita basa
rekuredza hove vachitengesa.
Murume wavamadhuve akatanga
kundivenga achiti musikana uyu ari
evil handimudi pano pamba ko kana
akamuka akafira pano isu tisingazivi
vabereki vake kana achida kugara
pano ngaatiratidze vabereki vake
first. Zvino ndakatanga kufunga kuti
ndoenda kuMusasa park kumba
kwedu kumayard ndosvika ndichiti
kudii ini ndakadzingwa.
Ndakazama kutaura navaMadhuve
kuti Mwari hanganditori asi kana
Mwari vasarudza kunditora hazvina
mhaka munosheedza mapurisa
ndovigwa zvangu nemabhanditi
.Zvino murume wava madhuve
akaramba akasimbirira
nyaya yekuti Nyaradzo ngaabve
pano.

Vamadhuve semunhu aindifarira


vainge vasingatereri mashoko
emurume wavo.Rimwe zuva
ndakabva kundotengesa apa
kwaipisa samare saka ndakagara
zvangu pasi pemumengo
ndichizvidira mvura mumusoro
.Ndakanzwa murume wavaMadhuve
achiti Nyaradzo huya mumba
mwanangu undipe zviredzo zvangu
zviri mudenga umo saka uchatsika
chituro ichi ndakabatira iwe
uchitora zviredzo mwanangu.
Ndakasimuka ndikati ndauya baba
mati ndiite sei .Ndakafira kutsika
pachituro ndikabva
ndadonhedzerwa pamubhedha
nemurume wavaMadhuve.
Ndakabidiriswa pamubhedha
nemurume wavaMadhuve achida
kundibata chibharo apa vachiti
Nyaradzo ndinokuda kana ukaita
mimba harisi dambudziko nekuti
ndiyo vavariro yangu.

Ndakaridza mhere ndichiramba


kusvika ndaruma baba vaya
ruoko.Handina kuziva kuti
vaMadhuve vainge vasvika zvavo
asi vaiva panze.Vamadhuve vakauya
mumba vachimhanya wanei baba
vaya vari pamusoro pangu
vachibibirisana neni.Murume wava
madhuve achiona mukadzi wake
akandichinjurusa achindiisa
pamusoro pake achiti Nyaradzo ibva
pamusoro pangu mhani haunyari
here kuda kundibata chibharo ini
handidi kupara mhosva nekuti uri
mwana mudiki.Baba ava vainge
vanzwa kuti mukadzi wavo asvika
saka kwainge kwava kutiza nyaya.
Mbuya madhuve vakatora bag rangu
vakapotsera kunze kwechivanze
vachiti Nyaradzo ibva pano uri
nzenza yemunhu .Ndakakunhonga
mustreet ndichifunga kuti
ndabatsira mweya waMwari izvo
unofunga kutora murume wangu
nhai famba nenyika uende vanhu
vajaira kugara mustreet munonetsa.
Ndakazama kutaura zvose kuti
handina kubvira ndada kurara
nemurume wenyu asi akuonai
muchiuya akachinja nyaya.Murume
wenyu ndiye aida kundibata
chibharo kubva zvandakatanga
kugara pano asi ndainyarara sezvo
ndaisada kuputsa imba yenyu amai
ndapota zvangu ndinzwisisei
handina kumwe kwekuenda kana
ndikabva pano.
Murume wavamadhuve aimonya
muromo wake akamira padivi neni
achiti wakaura Nyaradzo ndaizviziva
kuti uchabva pano ukadzokera
mustreet where u belongs.
Ndakanhonga bag rangu
ndikachema ndakananga mutown
yemukwekwe.
Mari yandakashandira mwedzi miviri
yose handina kubvira ndapiwa
zvachose.Ndakamira nechepasango
ndisati ndapinda mudhorobha
ndikati Mwari wenherera where are
u.Ndakachema veduwe apa bag riri
muruoko ko kwekuenda ndiko
kwandainge ndisina zvachose.
Ndakafamba ndichitevedza nzira
ndisina kwandakananga.Handina
kuziva kuti mberi kwangu kwaibva
mota dzaidzingirirana ndakaerekana
ndava pakati penzira ndatsikwa
nemota.Vanhu vaizvifambira zvavo
vachibva mutown vakamhanya
vachiti mwana uyu atsikwa veduwe
huyaiwo mubatsire mwana uyu
nekuti achiri kufemera kure iro ropa
rainge rotevedza tara richibuda
mumukanwa mangu.
Mota yekunditsika iyi haina kumira
zvayo yakapfumbura huruva ko
ndaizivei kuti vanhu vanditsika ava
vaiva Trish naTanaka
vaidzinganisana zvavo sezvo yaiva
weekend vachitambisa mota
dzepamba sezvo vaninina vangu
vaienda kubhawa vachinwa doro
nekupembera nemashamwari avo
vachifara nekunwa wine
vakadhakwa vachiita show off
mutown sezvo step mother vangu
vaipa vana vavo pocket money.
Ndaingonzwa vanhu vachitaura
nechekure vachiri nhai veduwe
hakunawo here ? Munhu and
number dzatax driver mwana uyu
aende kuchipatara asati afira pano
paroad.
Nenguva isipi pakasvika mota
yaibva mutown ikamira mukomana
uyu aiva mwana wazvina bhizimusi
Machaka vaiva nemamines avo
muKwekwe ende mukomana uyu
aiva nemoyo wakanaka chaizvo
akasvika nekundihwetura
achindipotsera paseat remota yake
akaenda neni kuLameck private
hospital kumbizo 5.
Ndakapepuka ndichinzi hey young
girl my name is Nigel Machaka i saw
you yesterday wakarara munzira
and wairatidza kuti uri helpless.
Ndakayerera misodzi ndichitarisa
kumeso kwemukomana uyu ndikati
how are u Nigel thank u very much
.May God continue to bless your
family because you save my life.
*Nigel* No problem ko zita rako
unonzi ani nhai uye waibva kupi
nezuro nekuti handina kuda
kuvhunza zvakawanda sezvo
ndaiona uchibuda ropa rakawanda
plus vanhu vaiva vakakuunganira
vairatidza kuti vaiva nehanya
dzekubatsira asi vaishaya
chifambiso
*Me* Eish my name is Nyaradzo mai
vangu vakashaika saka step mom
vangu vakandidzinga pamba saka
nguva yandakatsikwa nemota
ndainge ndadzingwa basa pamba
pandaishanda .Baba vangu vanonzi
Freddy Alufaya vanoshanda
kuMinistry of healthy.

*Nigel* Eish what a wicked heart


baba vako ndinovaziva vanowirirana
nababa vangu ko zvauri mwana
wengwezha yemuno muKwekwe sei
uchitambudzika kudai saka
unondibvumirawo here kuenda
kumba kwenyu kundosheedza baba
vako vazokuona muno muChipatara
but don't worry about bills i already
paid it.

*Me* Thank u very much Nigel asi


baba vangu usavaudza zvako nekuti
havana basa neni kana ndabuda
muno muchipatara ndichadzokera
mustreet mandajaira kugara don't
worry about me Mwari
vanondichengeta.

Nigel akadonhedza misodzi


akapukuta nehand achieve yake
akati eish wicked people sei kubata
munhu rough kudai mwana uyu
akapara mhosva yakakura seiko
inga mhondi dzinochengetwa kujeri
wani.

Ndakatarisa kumeso. kwaNigel


ndikati pliz don't cry handina kufa in
ende Mwari vanoratidza kuti
vanondida saka vatuma iwe kuti
undibatsire.
*Nigel* Aiwa Nyaradzo rega
ndicheme zvangu ndichibvisa
bundu pamoyo pangu nekuti mai
vangu vanorwara chirwere
cheshuga saka vakafa nhasi
ndichabatwa rough sezvizvi here
truly speaking ndarwadziwa nelife
yako Nyaradzo chidya zvako chikafu
chandakutenga ichi chisati chapora
ndavakuenda unoda kudya chii
pavisting hour yemasikati.
*End of Chapter 06*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*AKa QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 07*

Ndakaramba ndakatarisa kumeso


kwaNigel mwanakomana wamuzvina
bhizimusi Machaka apa misodzi
yangu yaiyerera nematama
ndichifunga kuti kana ndabuda
muchipatara ndichaenda kupi
upenyu hwenherera hwakaoma
chokwadi ko mai vangu vakafuratira
moyo wavo sei vachindisiya
ndichitambura.Nigel akandibata
ruoko rwangu akati Nyaradzo
ndafunga kundotaura namai vangu
kuti vagare newe kusvika wawana
zvako basa ini ndinomboenda
kuChikoro sezvo ndavakunopedzisa
degree rangu reacounts kuU.Z.
Ndakanyemwerera ndikati thank u
very much Nigel dai Mwari vakupa
njere dzechikoro ukapase pamwe
mwangwana ungabatsira vanhu
vanotambura seni pamwe chete
nenherera dzakaita kunge ini
Nyaradzo.Ndakaona Nigel
achikundikana kusvika
pakutsikitsira pandiri akatanga
kuchema akandibata ruoko rwangu.
Masikati Nigel akauya kuzondiona
akabata maruva uye mbatya itsva
dzaiva mupaper bag .Doctor
vakapinda vakati Nigel Machaka
sister vako Nyaradzo tiri kuvabudisa
nhasi saka wouya womutora zvako
asi tichamupa mapiritsi
ekunyaradza marwadzo.Nigel
akabvumira nemusoro wake akati its
okay doctor ndinouya ndomutora
zvangu kana abudiswa no problem
.Nyaradzo gadzirira ndinozokutora
toenda kumba kwedu manheru
kumayard asi izvozvi ndinoda
kumbozivisa mai vangu nezvako.
*Me* okay Nigel hazvina kuipa chero
basa rehouse girl ndinorida ndiri
musikana akasimba chaizvo
pakushanda handina nungo
unokwanisa kuudza mai vako kuti
ndawana maid.

*Nigel* Aiwa Nyaradzo handidi kuti


ushande asi ndinokutora sasisi
vangu nekuti uri zera rimwe chete
neyoung sista yangu Yvone.

Ndakasara ndikapfugama
pamubhedha uri muchipatara
ndikati Mwari maita zvenyu matuma
Nigel muupenyu hwangu iko zvino
upenyu hwangu hwachinja nekuda
kwemwana komana ane moyo
muchena semukaka usina
zvipomerwa.
Nigel akasvika kumba kwavo
nemota yake apa airatidza kuti haasi
kufara .Akasheedza mai vake padivi
akati mom ndinoda kukuona padivi
pasina vashandi venyu nekuti its a
family matter hazvidi vasikana
venyu varipedyo.
Mai vaNigel vakadzinga vasikana
vebasa vaiva mubishi kuvagadzirisa
vhudzi ravo. Mwanakomana
akaswededza chair yake padhuze
namai vake akati mom ndaita
problem asi ndinodawo kuti muve
nemoyo wekubereka.Ndanhonga
umwe musikana anonzi Nyaradzo
atsikwa nemota muroad umo zvino
mwana uyu haana kwekuenda
zvachose anoti iye inherera akafirwa
namai vake pliz mom do me a fever
ndinoda kuti Nyaradzo agare pano
kusvika awana basa.
Nigel unoda kunzwa malaria here
kana kuti wava kupenga zvako sei
uchida kutora munhu wausingazuvi
kuunza pano pamusha, NO! hazviiti
izvozvo ko kare kose aimbogara
kupi kusvika akure kudaro ane
makore mangani Nyaradzo wacho.

*Nigel* Nyaradzo is a little girl mom


ane 17 years chaidzo ende
ndakamutarisa handioni zvangu
dambudziko rake munhu anoterera
zvisingaiti mirai nditange ndauya
naye pliz mom bvumai kuti
Nyaradzo auye pano ende
ndingafara zvisingaiti.

No handigamuchiri munhu
wandisingazivi munhu ane 17 years
aimbova kupi kubva kudhara ko
kana achiba .Kumba kwavo
akadzingirwa chii? Aiwa nherera
hadzichengeteki handifungi kuti
ndinobvuma zvakadaro even baba
vako Nigel havangabvumi kutora
stranger kugara naye pano pamba
never .

Nigel akasimuka akapinda mumba


akatora mabag ake achipotsera
mumota.Mai vake vakasimuka vakati
Nigel wava kupenga here ko mabag
unomadii unoda kuenda kupi nekuti
nhasi harisi zuva rako rekuenda
kuchikoro uye mota yauri kuisa
mabag ako haisiyo yaunofamba
nayo mazuva ose.

*Nigel* Mom u are very wicked why


muchiramba kuti Nyaradzo auye
pano kana mwana akanaka
saNyaradzo achigara mustreet saka
chinotadzisa kuti neni ndigare
mustreet chii regai ndiende sarai
pamba penyu .Noman huya
nemakeys emota ndiperekedze
mutown nemabag angu ende mom
nadady hamuchafi makaona chiso
changu zvakare ndaenda ini better
ndigare musango pane kuti
Nyaradzo atambure ndiripo hazviite
i rather die than kuti Nyaradzo
agare mustreet.
Hezvo aya haasi mashura here saka
Nigel watokura nemakore 23
zvekusvika pakumira mberi kwangu
uchitaura mashoko akadaro asi
uchiziva kuti ndine chirwere
cheshuga, Nigel unoda kundiuraya
here iwe? okay enda tora mbatya
dzako dzose uende ini ndisare
ndichifa but ukanzwa kuti ndafa
usatsika parinda rangu nekuti
waratidza kuda Nyaradzo kupfuura
ini mai vako.
Yvone akabuda mumba akabata
mudhori wake akati mom what is
going on here. Mai vaNigel
vakaridza tsamwa vachipinda
mumba vachiti Yvone ask your
brother kuti chii chiri kuitika kwaari.
Baba vaNigel vakasvika pakarepo
Nigel akapfugama achichema achiti
daddy ndapota zvangu ndinodawo
kuti Nyaradzo azogara pano
achishanda zvake chero basa
rehouse girl.Baba vaNigel
vakanzwisisa vakati okay enda
undomutora musikana wacho auye
pano tinzwe nyaya yake.
Yvone akaridza zitamwa achiti nxaa
Nigel unopenga iwe saka wanga
uchipopotera mom nekuda
kwestreet kid yawakanhonga
munzira kana ukaona mom vakafa i
never forgive u.

*Nigel* Shut up Yvone chii


chaunoziva iwe Nyaradzo haasi
street kid asi akadzingwa pamba
nastep mom vake saka unoda kuti
agare murank ini ndiripo here ko
kuchechi munoenda kundodii kana
musingagoni kubatsira manje
handisi kuzosiya Nyaradzo kana
ndafa ndinomufira i dont care.

*Yvone* Futseki Nigel ndosaka


uchidanana nestreet kid manje pano
hapana peace kana Nyaradzo wako
iyeye achigara pano enda
kuchipatara undomutora uone.

*Nigel* Handisi kudzokera


kumashure daddy vabvuma kuti
nditore Nyaradzo agare pano iwe
Yvoni wakaipa moyo wako sitereki
ndosaka uchibata chidhori munhu
akura unofunga kuti uri mwana
mudiki here munhu ane 17 years,
Nyaradzo is far much better than
you nekuti ane hunhu hona iwe
unofamba wakashama mberi
kwadaddy namom nekabhurukwa
kadiki diki ikaka nxaa get out of my
sight silly girl.
Nigel akadzoka nemota yake
tikaenda zvedu kumba apa bag
ndainge ndisisina hameno pamwe
rakasara pandakatsikwa nemota
zvino ndainge ndabata paper bag
yava nenhumbi dzangu
dzakatengwa naNigel ndiri
muchipatara.
Ndakasvika pamba pana Nigel
aiwaka pamba pakanaka zvapo
ipapo apa vashandi vaingofamba
neruvazhe.Ndakazvitarisa ndichitya
kupinda mumba imomo mairatidza
kuti mumba mengwezha chaidzo
kwete mari yekunyepera.

Ndakavhunzwa kuti uri mwana wani


ndikada kutaura zita rababa vangu
asi Nigel akakosora nhema
achinditsonya akati daddy uyu
anonzi Nyaradzo aigara kumusha
saka akauya muno kuzotsvaka baba
vake sezvo aingonzwa kuti baba
vake vanogara kuMasasa park kuno
kumayard saka akatsikwa nemota
ari mubishi kutsvaka real father
vake.Ndakatarisa Nigel kumeso
sezvo ndainzwa achinyepera baba
vake. Mai vaNigel havana kana
kugara vaswedera pedo neni
vaitopara nzara dzavo vakatarisa
divi.
Nigel akanditi Nyaradzo simuka
ipapo ndikuratidze room yako
yaucharara.Yvone akadavirira akati
iwe Nigel kwete kupa Nyaradzo
wako iyeye room inogara zvidhori
zvangu handidi tsvina mumba
muzvidhori zvangu hameno kuti
uchaisa street kid yako kupi.
Baba vaNigel vakatarisa Yvone
vakati shut up your mouth unotaura
zvezvidhori zera rako iroro simuka
apo undoverenga mabhuku kwete
kuda kuti ngwaunza nzeve dzedu
.Nigel ratidza Nyaradzo room
yekurara chero spare yawasarudza
ikoko zvidhori zvechii uchitadza
kuita zvemabhuku ndizvo
zvinokufoirisa chikoro izvozvo mai
vako vanokujaidza chaizvo
unotengerwa zvidhori zvei Yvone
iwe.
Ndakamuka ndichiita basa usiku
chaiwo vamwe vasikana vaishanda
pamba apa vakasara kumuka vakati
hezvo nhai Nyaradzo waita basa
rose iri nguvai saka isu tichabata
papi ko zvaunoshanda zve nhai
mwanasikana.Ndakasekerera ndikati
thanks Janet ndajaira kumuka na4
oclock ndichiita basa saka
handigoni kurara kana kunze
kwaedza step mom vangu
vakandidzidzisa kudaro.

Yvoni akabuda mumba make akati


iwe street kid unozviti Nyaradzo
kana uri umwe munhu tsvaka
kumwe kwekuende nekuti pano
hausi kuzogara izvozvi hanzvadzi
yangu Nigel ava kundivenga nekuda
kwako kasira zvako kubva pano
kana uchida kuona kuti handikudi
pano mira ipapo uone.

Yvone akauya negaba rainge


rakazara paint akandidira
mumusoro ndikaita blue muviri
wose.Ndakachema ndakamira
ndichiti Yvone sei uchidaro ko
ndakutadzirei nhai inga handirambi
wani kuita zvose zvaunoda chero
ukati ndikugezese tsoka dzako
nemate angu .
Janet akandibata ruoko rwangu
akati sorry zvako Nyaradzo hande
kubath undogeza.Ndakageza asi
paint haina kupera sezvo yainge
yakazara muviri wose.Nigel
akamuka kuseni achisheedza kuti
Nyaradzo uripiko i miss u apa
achitasanuka hake sezvo aibva
muhope.
Ndakabudira ndichibva kuseri
kwemba apa ndichichema ndichiti
Nigel ndiri pano.
Nigel akambopukuta kumeso kwake
akati uyu ndiye Nyaradzo wangu
wandinoziva here kana kuti
ndeumwe Nyaradzo.Janet
akadavirira achiti ndiye Nyaradzo
uyu asi adirwa gaba rakazara paint
naYvone.Ndakabata muromo
waJanet ndichiti vasikana
mazvitaurirei chionai Nigel ava
kundorova Yvone veduwee
ndichadzingwa pano ini ndapota
zvangu Nigel usavhunza Yvone
she's a little child haana chaanoziva.
NO Yvone haasi mwana mudiki uyu
makasiyana chii naye .Nigel
akasvika mumba achidira Yvone
gwati rembama zvekuti mai Nigel
vakasimuka vakati iwe Nigel u are
going too far now warova Yvone
nekuda kwestreet kid manje
Nyaradzo wacho ava kubva pano
izvozvi.Bag rangu rakapotserwa
panze ndikati Nigel izvi
zvazonyanya rega ndiende mustreet
take yourself pamwe pano pamba
pangaita peace ndapota zvangu.
Nigel akasheedzera mukomana
aishanda pagedhe akati iwe Norman
ukaona Nyaradzo akabuda gedhe
akaenda basa rako rapera.

Ndakagara vhiki yose apa Nigel


aitora mabhuku achindidzidzisa
zvekuti ari pamba ndainzwa kufara
chaizvo.Rimwe zuva Nigel akabuda
mumba achisunda mabag ake akati
Nyaradzo usare uzvichengete ndava
kuenda kuchikoro kuU.Z uye ndiri
kudzoka mwedzi uno wapera tora
foni iyi ndichapota ndichitaura newe
everyday i miss u.

Veduwee ndakachema kuita kunge


pafirwa ndakatarisa Nigel achiti
Nyaradzo ndava kuenda kuHarare
kuU.Z.Ndakambundikira Nigel
ndikati my life never be the same
without u i will always miss u Nigel
.Ndakadzokera pamota
ndichimhanya ndikasvika
nekumbundikira Nigel ainge
achichema akanditarisa achiti
Nyaradzo ndaisa upenyu hwako
mumaoko aMwari uye
vachakuchengeta kusvika murufu
uye ndinozviziva kuti pano pamba
hapana munhu anokuda zvandinoita
ndakasara ndakagara pasi
ndichichema ndakatarisa mota
yaNigel ichibuda gedhe .
*End of Chapter 07*
*QUEEN loves u all stay bleesed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEM*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 08*
Ndakachema ndakatarisa mota
yaNigel yaibuda gedhe apa moyo
wangu wainge worwadza kuti
ndosara ndichipiwa rudo nani sezvo
Nigel ainge ava kunditora
sehanzvadzi yake chaiyo.Yvone
akaseka zvake akamira kumashure
kwangu akati gegegede chiona
manje Nyaradzo ikozvino wava
kuchema kunge mwana mudiki saka
Nigel zvaaenda uchaita sei manje
unofunga kuti unoramba uchigara
pano uri ani.Kana waida basa
waifanira kutsvaka zvakanaka kwete
kusvika uchindivengesa nabhudhi
vangu chiona manje Nigel aienda
without say good bye Yvone nekuda
kwako.
Ndakatarisa Yvone kumeso kwake
ndikati ndiregerewo Yvone uye
handina kubvira ndakuvenganisa
naNigel ini inga ndinodzora Nigel
pose paanoda kukurova wani sorry
zvako Yvone.Kuchema kwangu
hakuna kundibatsira chinhu nekuti
Yvone akafambisa achipinda
mumba mavo akatora bag rangu
akapotsera panze.Ndakazama
kuchema zvese nekukumbira
ruregerero asi zvakashaya basa
sezvo baba vaNigel vainge vasipo
vaenda kubasa .Yvone akasimudza
bag rangu akapotsera kunze
kwegedhe zvekuti ndakasimuka
ndakaviga foni yangu ndichitya kuti
Yvone aigona kuitora.

Ndakafamba nenzira misodzi iri


pamatama zvino ndainge
ndisingachazivi kwekuenda
veduwee mustreet munoda munhu
amujaira kugara ini zvaindinetsa
kutaura chokwadi.Ndakambogara
panzira ndichigaya zano kuti zvino
ndodii

Ndakafunga kuenda kumba kwana


Petty ndikasvika ndichimira
pagedhe apa ndichidongorera zviri
mukati sezvo ndaita kurumwa
nembwa.

Ndakabaya button rekugedhe


ndikaona musikana webasa
wepamba pana Petty achifamba
achiuya.Ndakakumbira musikana
iyeye kuti ndaida kuona Petty apa
paper bag yangu yehembe ndaiva
nayo muruoko ko handiti mbatya
dzangu dzainge dzarasika here zuva
randakatsikwa nemota saka ndaiva
nehembe shoma dzandakatengerwa
naNigel.
Petty akauya kwandiri achimhanya
akati hezvo ko Nyaradzo waiva kupi
nekuti ndava nemazuva
ndichikutsvaka ndipe bag rako
ndikubatire tiende mumba nekuti
daddy vangu namom vaitokuvhunza
vachiti Nyaradzo akaenda kupi
hatisi kumuona pamba pavo
mazuva ano ko wainzi nadoctor une
mimba dumbu racho harisi kukura
wani asi wakabvisa nhumbu kanhi
nhai Nyaradzo.

*Me* Aiwa handina kumbobvisa


nhumbu ini asi ndakaita accident
ndikakuvara hausi kuona kuti
kumeso kwangu kune mavanga here
?uye doctor vakandirapa havana
kumbenge vataura zvekuti ndine
nhumbu. Ufunge zvako Petty
ndakatsikwa nemota asi vanhu
vakanditsika havana kumisa mota
yavo asi vakaramba vachienda
nenyasha dzaMwari
ndakazobatsirwa neumwe
mukomana anonzi Nigel Machaka
manje akadzokera kuchikoro kuU.Z
saka ndasara ndichidzingwa pamba
pavo nehanzvadzi yake anonzi
Yvone ndapota zvangu Petty taura
nevabereki vako kuti vabvume
kugara neni kusvika ndawana basa
chero remumba zvaro.
*Patty* :Ohhh my God Nyaradzo
wakatsikirwa kupi nekuti ndakanzwa
Trish naTanaka vachisvika pamba
penyu vakadhakwa vachisheedzera
kuti mom tatsika umwe mustreet kid
muroad inobva kutown saka tiri
kutya kuteverwa nemapurisa iwe
Antony tora horse pipe usuke ropa
pamavhiri emota kana mapurisa
akasvika pano tell them kuti hatipo
tadzokera kuchikoro kana ukataura
kuti tiripo chete basa rako riri
kuzopera .Ufunge zvako Nyaradzo
ndakanzwa vasikana ava
vachisheedzera mashoko iwayo
ndakamira pafence ndichidiridza
maruva sezvo ndichibatsira mom
basa kana iri weekend unongoziva
kuti mom havajaidzi munhu kuti
ashandirwe akagara.
*Me* :Hoo nhai saka Trish
naTanaka ndivo vakanditsika zvavo
.Handina zvangu kugara ndaisa
nyaya yacho kumapurisa plus
handingasungisi vaninina vangu
hazviiti asi chinhu chandafambira
pano ndechekuti Petty uve nemoyo
unetsitsi undikumbirirewo
kuvabereki vako ndiwane pekugara .
Petty akandibata ruoko rwangu
tichipinda mumba yekutandarira
mainge makagara mai vaPetty
ndikasvika ndichigara pasi chaipo
sezvo kumba kwana Nigel
handaibvumirwa kugara pasofa.Mai
vaPetty vakanditi aiwa Nyaradzo
simuka zvako ugare pasofa muno
mumba hatina risarura zvachose
kwanaka here kuonekwa makuseni
ano i thought wakaenda kumusha
nambuya vako sezvo vachinzi
vakambouya vachida kukutora ko
wainge waenda kupi nhai Nyaradzo
vamwe ndivo vaingoti uri kuonekwa
mutown uchingofamba.

Ndakayerera misodzi ndikati


ndakadzingwa pamba sezvo step
mother vangu vakaenda neni
kuchipatara doctor vakati ndine
nhumbu but i
swear to God handisati ndamborara
nemurume kubva
zvandakazvarwa.Ndakapfugama
pasi chaipo ndichikumbira mai
vaPetty kuti vandibatsirewo
nepekugara kusvika ndawana basa
chero rehouse girl.Manje
dambudziko raivapo nderekuti
pamba pedu paiva padhuze
nepamba pana Petty zvekuti
ndaiona zviri kuseri kana kutonzwa
nyaya dzinotaurwa kuseri kana
ndikaswedera padhuze sezvo paiva
nemuganho wedurawal.
Mai vaPetty vakati aiwa Nyaradzo
simuka zvako usapfugama enda
naPetty mumba make akuratidze
room yamunoshandisa chero
kugara pano zvachose harisi
dambudziko.Ndakafara zuva iri
zvekuti ndakamhanya
ndichindopukuta tsoka dzamai
vaPetty nedress rangu.
Ndakagara pamba pamai vaPetty
mwedzi wose ndichibatwa
zvakanaka chaizvo. Rimwe zuva
takaenda tose kutown
ndikatengerwa nhumbi dzimwe
nguva kana iri weekend taibuda
nemota naPetty tichienda kuchechi
sezvo Petty aifarira
zvekunamata.Mai vaPetty
vakandibadharira school fees
vakataura naheadmaster
wepachokoro pangu vachiti
Nyaradzo ainge akaita accident
saka aisauya kuchikoro manje nhasi
ndauya naye ndinoda kuti
aenderere mberi nechikoro mari
yose inodiwa ndinobvisa.Sasha
muninina waPetty aindifarira
achinditora sasisi vake.

Nigel ndaitaura naye pafoni zvose


nekumufonera kana ndine mari asi
handina kunge ndamuudza kuti
ndakadzingwa pamba penyu nekuti
handaifarira zvekukonanisa vanhu
.Nigel akandivimbisa kuti
aizondiona mwedzi wapera .Ndainge
ndaona kuti zviri nane ndireve
nhema kuna Nigel yekuti ndiri
kugara kumba kwemunina wamama
vangu uye Nigel akafara zvikuru
achiti zvava nane manje moyo
wangu wafara nekuziva kuti
Nyaradzo hausi kugara mustreet.
Ndakapedza kuudza Nigel nhema
ndikapfugama ndichiti Mwari
ndiregereiwo nekuudza Nigel nhema
ndinozviziva kuti bible rinoti usava
murevi wenhema Amen.

Mai vaPetty vakati Nyaradzo


unofanira kudzidzira kudriver nekuti
Petty ane usimbe hwekuenda
kuchechi manje iwe ndinozviziva
kuti unoda Mwari saka ndinoda
kugara ndichifamba newe
pachinamato.Ndaidzidzira kudriver
zvangu zvekuti mulocation ndainge
ndakutogona kutenderera ndega
nemota nemota semunhu asina
chitambi handaizosvika kure.

Rimwe zuva dhuma dhuma nemota


yaTrish yakafira panzira moyo
wangu wakarwadza kuti ndidarika
munina wangu ari padambudziko
apa mumota make maiva
nevakomana hobho .
Ndakaburuka mumota ndikati
Tanaka naTrish ko mota yenyu yaita
sei regai ndifonere mechanic auye
pano izvozvi.Trish akabata muromo
wake akati it's a lie so ndiwe zvako
Nyaradzo wakachena kudai uye
wakabvisa mimba iwe ko mota iyi
zvainoita kunge yepamba pana
Petty wani ooh my God kutochena
nekurukwa musoro ndinoda
kufonera mom izvozvi ndivaudze
kuti Nyaradzo ari kugara kumba
kwana Petty ende Nyaradzo uri
kuzoenda kujeri iwe nenhumbu
yawakabvisa mira zvako ipapo
uone.

*Me* Handina kumboita nhumbu ini


uye ndaienda kumaperiod semazuva
ese ndofunga doctor yakaita
mistake pliz Trish usandiendesa
kujeri.
Ndakachema ndichipinda mumota
ndakananga kumba zvekuti gogo
dzaiva mugumbo dzakatanga
kundiremera.Ndakasvika pamba
pana Petty iri batai batai step
mother vangu vachipopota apa
mota yemapurisa yakamira kuroad
uye mai vaPetty vainge vasungwa
maoko nenjema. Ndakayerera
misodzi ndichiona mashura aya
ndikati God why me.
*End of Chapter 08*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortstoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 09*
Ndakapererwa ndichiona pamba
pakamira mota yemapurisa
.Ndakabata musoro wangu ndikati
ooh my God saka ndoita sei manje
apa kuti nditize hazviiti nekuti
ndinopinza mai vaPetty
padambudziko risiri ravo semunhu
ainge andibatsira.
Ndaifunga kuti zvimwe mai vaPetty
vainge vasungirwa nyaya yangu
yekuti Trish ainge andiona ndisina
nhumbu sekufunga kwastep mother
vangu izvo handizvo asi nyaya
yainge yataurwa kumapurisa nastep
mother vangu yaiva yekuti vabereki
vaPetty vaiva vandikidnapper.
Mapurisa akatora mai vaPetty
vekavavakwidza mumota
.Ndakamhanya ndichitevera
kumashure netsoka kusvika ndava
papolice station ndikachema
ndichiti officer mukadzi wamasunga
uyu aindibatsira zvikuru uye kuti
ndiende kuchikoro ndivo mai ivava
havana kundi kidnapper asi step
mother vangu vari kuda kutsvaka
nyaya ndapota zvangu budisai mai
Petty vaende kumba nekuti havana
mhosva.

Ndakachema ndakagara zvekuti


pakapinda officer in charge
vakanzwa tsitsi ndichirondedzera
nyaya yangu kusvika mai vaPetty
vabudiswa tikadungamidzana
tichienda kumba.

Tiri munzira kuenda kumba


takasangana nababa vaPetty vari
mumota yavo vachitevera kupolice.
Pavakati baa kuona mudzidzi wavo
vakadonhedza misodzi vakaburuka
vakambundirana nemudzimai wavo
vachiratidza kushushikana kukura
vakatora kanguva vakadaro
vakazosiyana vavakuti
vhuriramadoor emota kuti tizive
tiende hedu kumba

Takapinda mumota takananga


kumba tichangosvika kumba.Baba
vaPetty vakandisheedza participate
vakati iwe Nyaradzo tafunga kuti
udzokere kumba kwenyu sezvo
nyaya dzako dzichinetsa kudai
hongu tine chishuvo chekugara
newe zveupenyu hwose asi uri
kuona nyaya yanga yaitika pano
ndapota zvangu dzokera kumba.
Ndakwira upstairs ndikarongedza
mbatya dzangu ndikafamba
ndakananga kugedhe .Petty
akamhanyira achindimbundikira apa
achichema.Mai vaPetty vakapinda
mumba vakatora mari inoita $50
vakanditambidza vachiti Nyaradzo
ukaita dambudziko ukwanise
kuzvibatsira uye mari yako
yechikoro ndakabhadhara promise
me kuti hauregi chikoro
.Ndakavimbisa mai vaPetty kuti
ndaizoenda kuchiro chero zviome
sei. Takambokurukura
kwekachinguva vachindiraira
nekundishingisa share kwazvo
takaparadzana ndakufamba
ndakananga kumba kwedu
ndichiperekedzwa neshamwari
yangu Petty
Ndichisvika pagedhe ndakasangana
nemota yababa vangu.Handina
kutaura chinhu ndakaramba
ndichifamba ndakabata bag rangu
muruoko kunge ndisina
kuvaona.Baba vangu vakaburuka
mumota vakapfugama pandiri
vachiti ndapota zvangu Nyaradzo
ndiregererewo mwanangu
ndakagumbuka ndichinzwa kuti une
nhumbu asi ndazvionera kuti dzaiva
nhema ikozvino handina rugare
namai vako muhope vachiuya
kwandiri vachibuda misodzi.
Ndakacheuka kumashure ndikati
baba vangu ndiudzei kuti
makandiberekera kutambura kudai
here kana pane chandakatadza or
chakatadza mai vangu ndiudzei
ndiripe sei muchiterera mashoko
anotaurwa nevanhu imi musina
kuona kuti ichokwadi here chitarisai
manje handina kuenda kuchikoro
chero form 1 zvayo.

Baba vangu vakachema kusvika


ndava kuchemawo.Petty akafamba
achindibata ruoko rwangu akati pliz
Nyaradzo regerera baba vako uye
bvuma kuenda navo kumba sezvo
vanzwisisa situation yako
.Ndakamhanya ndichimbundikira
baba vangu apa takabatana maoko
baba vangu vachiti Nyaradzo
ndinokuvimbisa kukuitira zvose
zvaunoda kusanganisa Father's love
kubva nhasi.

Vakapinda mumota takananga


pamba pedu servo taiva
tatosvika.Takapinda mumba baba
vangu vakabata bag rangu
muruoko .Ndakafamba zvangu
ndisingatauri nemunhu patakati
tidarike mudinning step mother
vangu vakatanga kuseka chikwee
vachienderana nevana vavo zviya
zvekupusisa ini nababa vangu
taifamba tichipinda mumba.
Ndakaita mazuva ndichifonera
number dzaNigel asi dzainge
dzisingabatiki zvekuti ndaishaya
mufaro kana ndikatanga kufunga
nezvaNigel kana kutodonhedza
misodzi chaiko.Ndaiti ndikanzwa
foni yangu ichirira ndaimhanyira
kuibata ndichifunga kuti zvimwe
ndiNigel ainge afona
ndaizobhoikana ndichiona msg
yaPetty yekuti good night Nyaradzo
toonana mangwana kuchikoro.
Chinhu chaindishungurudza
mumoyo mangu ndechekuti Nigel
ainge aona chii ko sei foni yake
isingapindi asi akabirwa foni yacho
sei ndichiti chero ndikasenda
mamsg yangu yaisaenda .
Rimwe zuva ndakasvika pakushaya
hope usiku hwose ndichiti Nigel
kani uripiko nhai *I MISS YOU* sei
usingandifungiwo ini ndichishaya
hope kudai how can i live without u.
Ndakatanga kufunga kuti ndichadii
nekuti Nigel ainge asingazivi pamba
pedu asi ndainge ndakamupa house
number yepamba pana Petty
ndichiti pamba pemunin'ina wamai
vangu uye baba vaNigel vaizivana
nababa vangu sezvo vaimboita
zvemamine vose. Rimwe zuva ndiri
mubishi rekusuka mota yaTrish
yaiva mugarage ndakanzwa Trish
naTanaka vachiti Antony mhanya
undovhura gedhe hausi kunzwa
here kuti kugedhe kune mota dziri
kuridza bhera dzichida kupinda.
Ndakashaya hanya nazvo sezvo
ndaiziva kuti Trish naTanaka ndivo
vaiva neshamwari dzine mota zvino
ini ndakaramba ndichiimba dziyo
dzangu dzekuchechi ndichiita basa
rangu. Trish naTanaka vakauya
kudhuze nekugarage vachimhanya
vakabatana maoko apa
vachizvigadzirisa hembe dzavo
vachiti wooow baby girl waona here
handsome pfacha yapindira izvozvi
apa apinda mumba muna daddy
namom and am sure kuti gentle man
iri riri kuda proposal pakati pedu tiri
2 yeee i can't wait to meet him .
Ndakasumudza musoro ndichiterera
nyaya dzana Trish ndakanzwa
Tanaka ava kuti shut up you bitch
uri kuterera chii unofunga kuti
unodiwa nani iwe munhu asina
kuenda kuchikoro ziva zvekusuka
mota apo nxiii.Ndakatevedza
madziro ndichida kuona mota
dzainge dzauya pamba pedu apa
Trish naTanaka vaiva mubishi
rekutambudzika nekusimudzira
mazamhu avo vakamira panze apa
step mother vangu vachisekerera
zvavo vari padivi vakayeva
mwanakomana wevanhu ainge
akanzwa kwazvo nekugeza
ndakatarisisa ndikati ooh my God
ko zvaari Nigel .
*End of Chapter 09*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortShortStoryWritten
SHYLEEN*

*Aka QUEEN of the books*


*0718126818*

*Chapter 10*
Ndakanyahwaira ndichienda kuseri
kwemba kwaiva nemhuri yose
ichiona gentle man rainge rashanya
pamba pedu zvino munhu wose aida
kuziva mission yemwanakomana
uyu.Tanaka naTrish vaitambudzika
mhani nekuzvigadzirisa hembe
zvikati munin'ina wangu Trish ane
mazamhu mahombe aiwa kani
mwana akatambudzika
achikwiridzira mazamhu ake,
ndakaseka zvangu ndikati hokoyo
mwanakomana adiwa uyu ko abva
kupiko akachena kudaro.
Ndaitaura zvangu ndega semunhu
akashota njere ndakabatira madziro
ndichimbodzosa musoro wangu
kumashure sezvo ndaitya kuonekwa
nastep mother vangu
vaingoringaringa maziso avo kose
kose.

Ndakatarisisa mukomana uya


ndikaona aikaka ko zvaari Nigel
,Ndakabata muromo wangu ndikati
oooh my God ndichidzosera musoro
wangu kumashure .Nigel akatanga
kutaura nyaya yake achiti ndauyawo
pano in peace nekuti paita ruva
randinoda kutemha .

Ndinoda kupa imi vabereki


vemwanasikana wandinoda rukudzo
rwose .Amai ndibvumirei kutaura
nyaya yangu.
Step mother vangu vakasekerera
zvavo vachiti of course go ahead
.Nigel akakotamisa uso hwake pasi
akazoti, "Ndauyawo pano
ndinechichemo changu ndiri
kutsvakawo mwanasikana anonzi
Nyaradzo Alufaya ndarairwa kuti
anogara pano". Step mother vangu
vakasekerara vachiti hongu ndine
vana vasikana vaviri ava iwe uri
kuda upi wacho.
Trish naTanaka vakatenderera Nigel
vachimusvinurira maziso avo uye
kumuratidza mukati mehembe
chaimo vachisimudzira mazamhu
zvose nekumindura
magadziko,Ndakaseka zvangu
ndikati yoo vana vatambudzika ava
kani.Nigel akadzungudza musoro
wake akati aiwa amai apa hapana
chido chemoyo wangu uye
Nyaradzo haana hunhu
hwakafumuka kusvika pakufamba
akashama kudai ndiri kutsvaka
musikana anonzi Nyaradzo Alufaya
kwete vasikana ava.

Travor akada kuti adavirire achiti


mom sisi Nyaradzo vaenda
kugarage izvozvi vari bzy kusuka
mota yaTrish .Travor akasheedzera
achiti sisi Nyaradzo shamwari yenyu
iri kukutsvakai mhanyai pano.Step
mother vangu vakatarisa Travor
neziso vakati shut up mouth silly
boy go and play chii chaunoziva
panyaya dziri pano.

Gentle man sorry for disturbance


Travor is a little boy haana
chaanoziva .Step vangu
vakasimudzira nyaya yavo vachiti
gentle these are my 2 beautiful
daughters uyu anonzi Trish
anodzidza kwaMutendi boarding
school achiita degree reAccounts
uyu anonzi Tanaka ari kupedzisa
degree rake reFood Nutrition
kwaMutendi zvekare saka iwe unoda
kusarudza upi wacho pavaviri ava
feel free to choose dont be afraid.
Nigel akadzungudza musoro wake
akati *NO* amai hapana wandinoda
zvangu kuroora ndavinga kuzoona
Nyaradzo shamwari yangu manje
kana asingagari pano no problem
ndichatsvaka ndikamuwana inga
goridhe rinogara muvhu wani asi
unowana varume vakuru vakabata
mapiki vachiyerera ziya nekuchera
pasi kusvika vabata dombo remari
ndizvo zvakafanana neni
ndichatsvaka Nyaradzo chero
mumwena chaimo thanks for your
time, Good day.

Nigel akafamba achida kupinda


mumota yake.Ndakatanga kuimba
nziyo yangu yekuti *,who will wipe
my tears nyika yose zvairi
kundiramba saka ndiani achapukuta
misodzi yangu ,hongu munhu wese
angandiramba asi Mwari wangu
hamundisiye ndega* Nigel akafamba
achidzokera kumashure akati inzwi
iro nderaNyaradzo chete.

Nigel akafamba achiuya kwandiri


apa misodzi ichitevedza matama
ake kunge mwana mudiki,Nigel
akasvika achipfugama pandiri
akabata tsoka dzangu nekuchena
kwake ikoko akati "I LOVE U
Nyaradzo and i believe u love me
too".

Ndakatarisa step mother vangu


kumeso kwavo ndikaona
vakashatisa kumeso .Trish achiona
izvi akadzokera kumashure
zvehasha asina kutaura
chinhu.Ndakaramba ndakabata
muromo wangu ndichishaya
mhinduro yekupa Nigel. Travor
akamhanya achiuya pandiri akati
sisi Nyaradzo bvumai mukomana
uyu nekuti ndamufarira.Ndakaona
kuti mashoko andaudzirwa
nemwana mudiki zera raTravor aya
ainge anesimba chaizvo.Ndakabata
ruoko rwaNigel ndikati yes I love u
too.Travor akarova maoko ake
achitimbundikira tose naTravor.
Takafamba tichienda pamota
yaNigel yoo ndakarohwa nehana
ndichiona mabag embatya
aibudiswa nadriver waNigel muboot
remota idzo bhutsu hadzo
handaitaura nezvadzo.Nigel
akanditambidza foni iri mubox
ndikaona aikaka ko zvairi Gtel.
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati ko foni ndeyeiko inga ndine
imwe iyi wani yawakatenga Nigel
akabvuta foni iya yandaishandisa
akati Travor tora zvako foni iyi
utambise magame Travor
akatambira foni iya achifara zvekuti
akamhanya achipinda mumba
achisheedzera kuti mom sisi
Nyaradzo vatengerwa foni yakakura
kudarika foni dzevanhu vose vari
pano pamba.
Ndakafara ndichibudisa mabag
ainge akazara nhumbi type
yose.Nigel akapinda mumota yake
achinditambidza mari akati
Nyaradzo ndichauya ndichikuona
mazuva ose uye ndinoda kutaura
nababa vako uye ndinoda kuti
vandibvumire kukuitira zvinhu
zvikuru muupenyu hwako.
Ndakatenda Nigel zvikuru
ndikasekerera ndakatarisa mota
yake ichibuda gedhe. Travor
akasimudza rimwe bag rangu raiva
nembatya achipinda naro
mumba.Ndakawana munhu wese
akamira apa vose vakaisa maziso
kwandiri vachiratidza
kugumbuka.Step mother vangu
vakatanga kupopota vachiti
handichengeti hure pano .Nyaradzo
kupiwa nhumbi ndakatarisa uye
mari ichi ndicho chinonzi Chihure
manje chiri pachena Iike daughter
like mother .Handina kupindura
chinhu asi ndakafamba zvangu
ndakadungamidzana naTravor
tichisunda mabag embatya dzangu
.Ndakaona Trish achienda
kundomira mberi kwangu apa
achitutuma furo nekugumbuka.
*End of Chapter 10*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*

*Chapter 11*
Takafamba takadungamidzana
naTravor wangu tichipinda mumba
.Ndakamira pamusuwo ndakatarisa
munhu wese ainge akaisa ziso rake
kwandiri ndichishaya kuti ko
mhosva yangu ndeyei sezvo munhu
wese abva anditarisa.Step mother
vangu vakaridza zitsamwa
vakanditarisa vachifemera kugotsi
sendere. Travor akandibata ruoko
akati sisi Nyaradzo siyai vanhu
vakadaro handei mumba menyu
ignore them . ndichida kuti ndikande
nhanho imwe chete Trish akafamba
achienda mberi kwangu asvika
achindivharira nzira apa akamisa
diti rake mberi kwangu kunge
achandidonhedza pasi nemazamhu
ake akaenda mberi kunge
guvhudende remukadzi anemimba.
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati musikana uyu anondiziva
mushe here ini ndinogona
kumukanganwa izvozvi
ndikamumanisa chisalady chose
chikapera aikaka ko chaanomirira
mberi kwangu ndichida kufamba
chii ipapa.
Ndakasuduruka kumashure
ndichienda nerimwe divi asi Trish
akasimudza ruoko rwake achindipa
mbama kumeso kwangu. ndakabata
kumeso kwangu ndichichema
ndakatsikitsira apa mabag nefoni
ndainge ndatsveta pasi.
Ndakangonzwa kunge ndagarwa
neshavi ndakasimudza ruoko
rwangu ndichipa Trish zigwati
rembama apa shasha yainge
yakavarairwa ndakarova Trish
achindodonhera kwakadaro. Step
mother vangu vakasimuka vakati
yoweee Nyaradzo wamera mapapiro
ungasimudza ruoko rako uchirova
mwana wangu.

Ndakaramba ndakamira apa ndainge


ndagumbuka zvekurevesa shasha
yakaswedera padhuze neni Step
mother vangu vachida kundirova
veduwee mai iyoyo ndakairova
kumeso kukaita kutsvuka apa
ndairova vose nevana vavo ndichiti
chero wandabata anonowira seri
uko.

Travor nedivi aindibatsira


achirwisana naTrish naTanaka achiti
musabata regai Nyaradzo namom
vapedzerane . Zuva iri ndakapedzera
step mother vangu hasha dzose
aiwa mai ava vainge vanyanya
kukwira ndege yemashanga
kundionesa nhamo pamba pababa
vangu.

Ndakati ndapembenuku pava paya


Ndakatanga kufunga kuti manje
ndaitei.Ndakafamba ndichienda
mumba mekutandarira mainge
makagara step mother vangu
vachisvimha misodzi semwana
mudiki adyirwa porridge yake.
Ndakasvika ndichipfugama ndikati
apologize mother am so sorry
handizivi kuti chii change
chandibata uye simba racho
rekurova vanhu vatatu handina
kuziva kwarainge rabva
ndangotanga kunzwa ndava
nesimba rakawandisa mumaoko
angu zvekukwanisa kurova chero
vanhu rume pliz forgive me mother.
Ndiri pakati pekukumbira ruregerero
kuna step mother vangu .Mota
yababa vangu yakabva yasvika
vachibva kubasa.Baba vakasvika
nekupinda mumba vachibvisa
maboni boni avo kumeso vakazoti
ko chii chaitika pano pamba nhai
Nyaradzo ko mai vako vari kuchema
chii.
Chezuva iri chakandikona ende
kutaura chokwadi ndakashaya
mhinduro yekupa baba vangu nekuti
ndinoshaya kwakabva simba rangu
rekurova vanhu vakuru uye mweya
wacho wekurova vanhu ndainge
ndisina zvachose asi ndakanzwa
hasha nekujairirwa naTrish mwana
mudiki kwandiri.
Step mother vangu vaiwedzera
kusvimha misodzi vakagara pasofa
vachiti Freddy unoona mwana wako
Nyaradzo uyu kundirova ini hona
Trish naTanaka zvavakaita
kuzvimba kumeso varohwa
naNyaradzo iyeyu iko zvino
akachinja moyo waTravor
haachandioni samai vake pano asi
ava kutondiona semuvengi wake ini
ndava kubva zvangu pano Nyaradzo
asare achigare ari mukadzi wako
nekuti pano pamba pava kusosona
nekuda kwaNyaradzo mwana rudzii
asingatsiuriki anorova mubereki.

Baba vangu vakanzwa hasha


vachiona mukadzi wavo achipupira
furo nekuchema .Baba vangu
vakasimuka pasofa vachindidira
gwati rembama kumeso zvekuti
ndakachema ndakapfugama mumba
mekutandarira imomo ndichiti pliz
for give me father it's a devil's work .

Hapana munhu akaona kuti Travor


ainge asimuka nguvai kuenda panze
achindonhonga danda achisvika
nekurova baba vangu mumusoro
chaimo apa ropa rakati rotanga
kuyerera mumba.

Step mother vangu vakasimuka


vakati Nyaradzo uri kuona
zvawakonzeresa pano izvi Trish
torai makeys emota tinde nadaddy
kuchipatara. Ndakasara
ndichichema ndakabata musoro
wangu ndichiti pliz father forgive
me.

Step mother vangu vakandipusha


sezvo ndaidawo kupinda mumota
ndichidonhera kwakadaro
ndakasara ndichichema sezvo
munhu wese ainge aenda
kuchipatara kwainge kwaendeswa
baba vangu .Ndakasara ndichifunga
zano rangu rekutevera kumashure
netsoka apa misodzi ichiyerera
nematama .

Ndakaona kuti it's too late regai


nditsvake tax nditevere baba vangu
sezvo Nigel ainge asiya mari inoita
$20 .Ndakasvika munhu wese ari
muchipatara akabata musoro achiti
ndapota zvangu Mwari dai
machengeta baba vedu.

Doctor akabuda akati mother


murume uyu ndewenyu here uye
aita sei kusvika pakubuda ropa
rakawanda kudai kana marwa
kumba kwenyu tiri kuda tsamba
yekupolice izvozvi nekuti murume
akuvara zvakanyanyisa uyu.Step
mother vangu vakanyepera doctor
vachiti hongu murume ndewangu
uye ndiye baba vevana vari pano
ava .Dambudziko raitika nderekuti
baba vauya kumba vakadhakwa
vakasvika vachidonhera padanda
zvazopa kuti vakuvare please doctor
do something.
Ndainge ndakahwandira zvangu
ndichinzwa zvose ko padhuze
paizosvikika here.Ndaingochema
ndakahwanda nepole remuchipatara
zvose nekunamata Mwari ndichiti
poresai baba vangu nekuti vakafa
ndatova orphan ,hongu zvainge
zvakaoma kushaya mai asi kushaya
vabereki vose marwadzo muupenyu
veduwee.
Doctor vakambotsikitsira
vachifunga zvakawanda vakazoti
okay, amai dzokerai kumba kwenyu
tichasara tichirapa murume wenyu
modzoka zvenyu kuzovaona
mangwana makuseni.Baba vangu
vakasheedzera doctor vachiti huyai
pano uye ndinoda kutaura nemwana
wangu Nyaradzo .
Step mom vangu vakamhanya
vachipinda mukamuri umu vakati
Nyaradzo haasi pano ari kumba ko
kwakanaka here nhai Shava yangu
taurai nyaya yenyu
ndakaterera.Baba vangu
vakadzungudza musoro wavo vakati
aiwa kwakanaka zvako mai Trish asi
ndine msg yaNyaradzo mangwana
chaiye musamusiya muuye naye
kuno kuchipatara.
Step mother vangu vakabvuma kuti
vaizouya neni mangwana doctor
akapa sign yekuti munhu wose
ngaabude tikwanise kurapa baba
vangu.Ndakahwanda nepole
remuchipatara ndikaona mota
yastep mom vangu ichienda kumba
ndakamhanya kuoffice yaDoctor
ndikati pliz doctor ndinoda kutaura
nababa vangu ndanzwa
vachisheedzera zita rangu.Doctor
vakamboramba asi vakazonzwa
tsitsi sezvo ndakaramba ndakamira
apa ndichiyerera misodzi.

Doctor vakandibata ruoko vakaenda


neni mukamuri iya vakati chitaura
nababa vako.
Ndakapfugama ndichichema ndichiti
ndapota zvangu baba vangu
ndinoda ruregerero runobva pakati
pemoyo wenyu handina kuziva kuti
ndichakonzeresa dambudziko
rakakura kudai .Ndadzorera
muninina wangu Trish mbama
nekuti ndiye ainge atanga kundirova
.
Baba vangu vakasheedzera vakati
aiwa Nyaradzo handina
kukugumbukira asi ndiri
kurwadziwa moyo wangu kuti
ndikavhara maziso angu zvachose
uchasara uchirarama sei uye ndiani
munhu achakuda kunze kwamai
vangu.Nyaradzo nyaya
yandakusheedzera pano yakamira
yakadai kana ukaona ndavhara
meso angu ndafuratira moyo wangu
zvachose uterere zvandinotura
newe pano nekuti nhamo yako
ndaona yakandira mazai muupenyu
hwako.

Ndakaswedera padhuze nekuti baba


vangu vaimbotaura
vachinyarara.Ndakasimudzira
ndichiti hongu ndakaterera baba
vangu taurai zvenyu.

*Father* :Nyaradzo step mom vako


vari evil kana ndikafa nhasi
unodzingwa pamba pamai vako
ukatambura zveupenyu hwose zvino
uchibva pano unoenda mubedroom
mangu wotora briefcase riri
muwodrope uye ndino mune
madocuments ose ecompany yangu
uye imba iya ndeyamai vako Alice
chero zita reimba iya harina
kuchinjwa.

Zvaunoona Trish naTanaka havasi


vana vangu asi ndakavachengeta
vari vadiki uye havana chezivo
.Nyaradzo mwanangu uchengete
Travor ndiye hanzvadzi yako chaiyo
wandakazvara namai Trish ndapota
zvangu Nyaradzo usarasha Travor
muupenyu hwako wazvinzwa here
Nyaradzo chienda mwanangu buda
izvozvi uende kumayard undoita
zvandakuudza .

Ndakaramba ndakapfugama
ndichichema zvekusvika
pakukonewa kutaura apa ndakabata
baba vangu ruoko ndichiti aiwa
father handiende kana muchitaura
saizvozvo ko imi baba vangu muri
kuda kuenda kupiko muchindisiya
.Doctor vakapinda mukamuri iyi
vachindibata ruoko rwangu vakati
Nyaradzo enda kumba kwenyu
ndinovimbisa kukuchengetera baba
vako .
*End of Chapter 11*
*Queen loves u all stay blessed*
*NYARADZAShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*

*Chapter 12*
Ndakarwadziwa moyo baba vangu
vachitaura mashoko makukutu
aibaya pamoyo pangu zvekuti
ndaishaya kuti ndodii asi
ndaingochema chete ndakabata
ruoko rwemusharukwa uyu airatidza
kuti aiva nemarwadzo aibva pakati
kati pemoyo.

Doctor vakapinda mukamuri mainge


makarara baba vangu apa
ndichema veduwee zvekutadza
chero kutaura chinhu apa ndainge
ndakatarisa baba vangu vaigomera
.Kutaura chokwadi handina
kunzwisisa mashoko ainge ataurwa
nemusharukwa uyu kuti airevei.

Doctor vakandibata ruoko rwangu


vakati Nyaradzo enda kumba uye
ndinovimbisa kuchengeta baba
vako nemazvo.Ndakafamba
ndichibuda muchipatara apa moyo
wangu uchirwadza kufuratira sezvo
baba vangu vakataura mashoko
aibaya pamoyo wangu. Ndakatanga
kurangarira mashoko akataurwa
nasekuru vangu gore ravakashaika
ndiri grade five vachiudza mbuya
vangu kuti musare muchengete
Nyaradzo. Mashoko aya akatanga
kundipa pikicha yekuti baba vangu
vainge vasvika zuva ravo rekufa
chete sei vataura mashoko ekuti
ndisare ndichichengeta Travor.
Ndakamira kunze kwechipatara apa
ndichichema zvose nekusheedzera
mashoko ekuti pliz father don't
leave me.Ndakaona kuti kuchema
ndakamira kunze kwechipata
hakubatsiri chinhu asi zviri nane
ndiende zvangu kumba ndindoita
zvose zvandainge ndaudziwa
kuchipatara nababa
vangu.Ndakafunga kutenga airtime
pamari yandainge ndasara nayo
ndikafonera Nigel but my surprise
foni yakadavirwa nemunhu
wechikadzi ende akangoti Nyaradzo
uri kudei ndakakuudza kuti
siyanana nabhudhi vangu nekuti
hausi class yedu zvekuita muroora
wamai vangu.

Ndikamhanya kukata foni sezvo


ndakaziva kuti ndainge
ndapindurwa naYvone .Ndakakwira
mutax ndakananga kumba apa
ndaitya manje kusvika sezvo
ndaiziva kuti kumba hakuna kumira
zvakanaka nhasi zvangu
ndicharohwa nastep mother vangu
kunge nyoka yapinda mumba.Tax
yakandisiya kugedhe ndikaita
zvekudongorera nepaburi reDurawal
ndikaona Tanaka naTrish
vachitamba zvavo volleyball .

Ndakanyahwaira ndichaenda kuseri


kwemba sezvo ndaida kurwisira kuti
nditore briefcase ende ndaiva
nepfungwa dzekuritora ndomhanya
ndakananga kuchipatara kuti baba
vangu vandiudze zvekuita naro.
Ndakahwanda kuseri kwemba
ndichidongorera mubedroom
mastep mother vangu
.Ndakashamisika ndichiona step
mother vangu vari mubish
rekubvisa hembe muwodrop apa
vachirasira zvinhu kure zvairatidza
kuti vane zvinhu
zvavaitsvaka.Ndakaona shasha
yaneta kuvhenda muwodrop apa
vachiita kufemera padenga
ndikaziva kuti vari kutsvaka
madocuments ecompany uye
mapaper emba.Step mom vangu
vakatanga kufona vachitaura
naLawyer wababa vangu
vachivhunza kuti madocuments ari
kupi nekuti ndarairwa navaAlufaya
vachiti ndiende nawo kuchipatara
sezvo baba vasiri kunzwa mushe
uye baba vabvuma kusigner
mapaper ekuchinja zita recompany
neimba pliz ndinokupai zvangu mari
yacho mondipa mapaper iwayo now
because i need them quickly.
Ndainge ndakaterera zvangu
mashoko ese aitarwa hameno kuti
Lawyer akapindura achiti kudii
ndakaona step mother vangu
vachimhanya vakananga kumota
yavo.Ndakanyahwaira ndichipinda
mumba sezvo ndaisada kuti Tanaka
naTrish vandione.Ndakavhura
mudisplay ndikatora makeys sezvo
ndaiziva muchigara spare key
yemubedroom mastep mother
vangu vachiitira vana vavo fanika
mazuva eweekend Trish naTanaka
kana vasiri kuchikoro.
Ndakavhura mubedroom hana
yangu ichirova chinoda manhande
door racho rainetsa kuvhura kani
zvekuti ndakambozama makeys ose
asi achiramba.Ndakanzwa Tanaka
achiti mom where are u tiri kuda
pocket money yedu
yeweekend.Ndakahwanda kudhuze
nekubhavhu .Tanaka akatarisa
pamusuwo akaona mai vake vasimo
akadzokera kumashure manje
mazimba edu ekukura iwayo
waigona kutsvaka munhu muswere
wose wezuva uchimushaiwa.

Ndakafamba ndichidzokera
pamusuwo ndikavhura ka1
ndichipinda mumba.Ndakaenda
pafitted wodrop pamusoro chaipo
ndipo pandakasvika nekunhonga
briefcase ndikabuda mumba muya
ndichiita kunyahwaira kusvika
ndava kugedhe chaiko. Ndakanzwa
Tanaka akasheedzera achiti ndaona
munhu anoita kunge Nyaradzo
abuda gedhe akabata bag achiti
nzvesu rimwe rake asi atora mbatya
dzake akatiza kanhi.
Ndakamhanya ndichihwanda
musango sezvo Tanaka naTrish
vakapinda mumota vachitevera
kumashure manje havana kundiona
nekuti ndainge ndahwanda pazimuti
raiva padhuze nepamba
pedu.Hongu briefcase ndainge
ndava naro mumaoko asi moyo
wairwadza kuti ko baba vangu vari
kunzwa sei kuchipatara.
Ndakashushikana zuva iri
ndichifunga kuti briefcase iri
ndichariviga pai kuti ndiwane
kuende kuchipatara uye kuviga
musango ndaitya kuribirwa futi
saka ndodii.Ndakashushikana
nepfungwa kwenguva refu
.Ndakaerekana ndanyangirwa
nehope ndikarara zvangu pasango
ipapo .Zvino panzvimbo iyi
pandakarara paiva nemakomba
airatidza kuti paimbocherwa gold
nevanhu apa foni yangu Gtel
yakatengwa naNigel ndaiva nayo
muruoko.

Ndakatsamhira briefcase ndikotsira


zvangu ndakagara pasango ipapo
ndikati regai ndimborara asi
ndichimuka pano ndoenda
kuchipatara kundoona baba vangu
better ndisiye ndacherera briefcase
iri pasi ndoenda kuchipatara
kuvisiting hour yemanheru.
Ndiri muhope kudaro ndakatanga
kurota futi mukadzi uya
akanditambidza zai .Ndakaita
kuvhunduka ndikati yoo ndiwe
zvekare wadzoka futi kwandiri
unodeiko kwandiri nekuti
ndarangarira chiso chako ko chii
futi chanetsa.
Mukadzi uya akaseka zvake akati
Nyaradzo my little child ndini mai
vako inga ndakakuudza wani kuti
handikusiyi woga chinzwa manje
Nyaradzo ikozvino yava nguva yako
yekudya simba rangu ende vavengi
vako vachapfugamira
vachikunamata Nyaradzo uchava
the richest young girl in kwekwe .
Ndini zvangu ndairova step mom
vako hausiwe hongu
ndakagumbuka kuti Bhururu wangu
akaita best pamuchato wangu ndiye
angaenda kun'anga yekundiurayira
murume wangu because of jealous.
Mai Trish aiva bhururu wangu tsika
nditsikewo ande i trusted her since
tiri kuchikoro iye akaroorwa ini
ndikaroorwawo .Dambudziko
rakaitika bhururu wangu haana
kugutsikana nemurume wake
akafunga kuuraya husband yake
baba vaTrish naTanaka .Zvino
bhururu wangu. akadzoka kumba
kwavo semunhu ainge afirwa apa
vana vake vaiva vadiki chaizvo
zvino mai vabhururu vangu vakatora
mwana wavo vakamuratidza
mazvikokota en'anga hombe iri
muchipinge yakazondiuraya uye
usanyeperwa Nyaradzo Trish
mukuru kwauri wezera rako ndiye
Tanaka asi baba vako vanoziva
zvavo chokwadi chose asi regerera
baba vako mwanangu nekuti
varimurima Nyaradzo chimuka
izvozvi uende nekuti pamakomba
pawakarara ipapo pari kusvika
vanhu izvozvi nekuti panoshandira
vanhu vanochera mari muka izvozvi
uende Nyaradzo good bye my
daughter.
*End of chapter 12*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 14*
Ndakachema ndakagara panze
pechipatara veduwee musatamba
nekufirwa nemubereki umwe chete
wekupedzisira ainge asara
muupenyu hwangu zuva iri
ndakatanga kupindwa nepfungwa
dzekuti ndatova orpharn ende
upenyu hunenge husisina kumira
zvakanaka zvachose.Vanhu vose
vainzwa tsitsi zuva iri pachipatara
ndichichema zvekutadza chero
kufamba chaiko munhu ega ega
aisangana neni nguva yevisting
hour yemanheru aivhunza kuti aitwa
seiko mwana uyo .Handikwanisi
kupindura vanhu asi ndaingoti
ndibaba vangu kani vandisiya asi
vati vari kuda maheu inga
ndakabata wani maheu acho
avanofarira kunwa aya sei
vasarudza kundisiya ko ndiani
munhu achasara achinwa shumba
maheu yavanofarira.

Ndiri pakati pekurwadziwa moyo


wangu tichichema takabatana
nambuya vangu ndakanzwa
ndabatwa hembe yangu
kumusana.Ndikati cheu wanei step
mother vangu vakagumbuka
zvisingaiti apa vari kufemera
mudenga.

Munhu wese akatarisa step mother


vangu kumeso vachiti Nyaradzo
where is the documents
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati" what are u talking about
which documents i don't understand
.Ndakapiwa mucheka wembama
kumeso ndichinzi Nyaradzo watora
mapapers emba muwodrop zvose
nemadocuments ecompany kasira
kunditambidza izvozvo ndinozviziva
kuti baba vako ndivo vakutuma
kuzotora uye vakuudza paari sezvo
Lawyer anditaurira kuti mapaper ose
ari mubriefcase saka iwe ukatora
upfumi hwose ko vana vangu vatatu
ava unoda kuti vasare vachirarama
sei nekuti doctor vafona ndiri
munzira vachiti Freddy ashaika.
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati" yes ,i took the documents
saka manga mafunga kudii pano
pakazara vangu ndatora simba
rababa namai vangu its my mother's
sweat sei muchida kundibatira
tarisai muone ndava munhu mukuru
now ndiri kushandira 18 years asi
handina kuenda chero form 1 zvayo
handina mapaper andinokupai
ndapisa ose kudhara chasara kuti
mubve pamba pamai vangu
ndakakuudza kuti your days are
numbered saka zvenyu
zvakwanirana pano pack your
things and go evil step mom .

Ndainge ndaita semunhu agara


neshavi ndichipopota.Mbuya vangu
vakasimuka vachisungira Zambia
ravo muchiuno vakati" shame on u
Beatrice kutora murume wemunhu
apa waurayisa mwana wangu
negodo rako hauzivi here? kuti
ndiwe wakonzeresa nyonga nyonga
yose iyi dai usina kuita godo
wakabata mwana uyu sewako zvose
izvi zvingadai zvisina kuitika hona
Travor arova baba vake nedanda
mumusoro achida kurwira sisi
vake.Pamwe munogona kupa Travor
mhosva muchiti arova baba vake
vakafa izvo hazvisizvo pamwe
Travor agarwa nemufi anova mai
vaNyaradzo kuti Freddy ashaike
musare makafanana newe
wakauraya murume wako .Mwana
wangu Freddy ndakamuudza asi
haana kunditerera mazuva
andakaona achifambidzana newe
munhu aiva mvana yemuraini
wakapusa zvekuti iwe Nyaradzo
famba tiende kumba tindofonera
vanhu vari kumusha vauye vaone
mashura ari muno mukwekwe
Beatrice muroyi wemunhu mutakati
ajaira kudya zvevapfupi nekureba
chasara kudzokera kumusha
kuBikita kundorima nyemba benzi
remunhu ini ndini ndichigara muno
mutaundi nemuzukuru wangu
achienda kuchikoro saka kumusha
kwacho ndichagarirei wapedzisa
mwana wangu umwe chete ega
ainge asara zvino wapedzisa ziso
rangu rimwe chete randaishandisa
kuona Freddy kani ndaimbokuudza
kuti madhirezi achakuurayisa
achiona manje Kunyika yawava
isina anoziva mararamirwe ayo.
Mbuya vangu vakatanga kuchema
vachizvipunzira pasi.Takamira
panzira tichimisa matax asi zuva iri
zvaiita kunge mashura mota
dzainge dzisingamiri apa zuva
rainge ravakudoka.Step mom vangu
vakaridza zitsamwa vakati Nyaradzo
u shall see vachipinda zvavo
mumota nevana vavo vakaenda
ndikasara ndakamira panzira
nechembere inova mbuya vangu.
Ndakafunga kufonera Nigel nekuti
mota dzaingodarika kana kumira
apa tainge takamira kunze
kwechipatara .Ko tainge
tichachema here asi kupererwa
chaiko.Sezvineiwo foni yakadavirwa
naNigel ndikafara zvikuru
.Ndakatanga kuchema ndichiti pliz
Nigel ndiri padambudziko
ndinokumbirawo usvike paWalter
peech private hospital ndipoo
pandakamira nagogo vangu izvozvi
tashaya mota manje ambuya vangu
vane chirwere chemakumbo saka
havakwanisi kufamba vachienda
kumba netsoka ndapota zvangu my
love help me.

Handina kuda kuudza Nigel nyaya


yerufu Ndakaona kuti
handingamhanyi regai atange auya
pano atitore nekuti ndikamuudza
zverufu aigona kurohwa nehana
akavhunduka akasafamba
zvakanaka.

Nigel akavimbisa kuti mira ipapo


babe ndiri kusvika izvozvi ndipe
after 30 minutes dzoga nekuti ndiri
muno mutown dai wafona kudhara
ndakutora watova kumba ko
kwakanaka here? my love uri kuitei
kuchipatara asi warwara here
muridzi wemoyo wangu nhai amai
Machaka.
*Me*: Aiwa Nigel totaura
zvakawanda wasvika kuchipatara
kasira nekuti pandiri parima pasina
kana magetsi uye handina
kwandingafamba ndichienda nekuti
mbuya vangu havaoni zviri kure
fanika usiku kudai worse.
Ndaingotarisa chiringazuva
ndichiona aikaka ko 7 o'clock
yemanheru zvayakwana takamira
pano apa step mom vangu vainge
vatisiya vakaenda zvavo what a
wicked woman anosiya chembere
yakadai achienda zvake eish may
good God forgive her.
Ndiri mubish rekutaura ndoga
mumoyo mangu ndakaona mota
yaiuya ichiita chahwiriri
kumhanya.Ndakanyumwa
ndikadhonzera mbuya vangu
pachisango tikati" kwavarara
.Ndakanzwa umwe wevarume vaya
achiti guys munhu watanzi tipfure
musikana wechidiki anzi akamira
nechembere pano ko uyo musikana
ari kubaya foni haana umwe munhu
waanaye wani.Varume vaya
vakatanga kuitirana nharo
kwenguva refu ndikanzwa voti ndiye
mhani musikana watatumwa uyo
boys simbi inorohwa ichapisa pfurai
munhu tirove pasi

Musikana uya ainge akapfeka


mbatya dzake chena achiratidza kuti
istudent nurse ainge apedza basa
akamirira makombi.Ndakadonha
misodzi ndiri pagwenzi pfuti ichirira
mumusoro memwanasikana
achidonhera pasi zvekuti foni
yaaibaya achitaura paap
yakadonhera kwakadaro.

Ndikamhanya ndichiridza mhere


ndichiti " veduwee huyai
mundibatsirewo musikana uyu aita
dambudziko pano manurse
akamhanya achiuya vakati shame
ko zvaari Anesu apfurwa nepfuti
hanzii.Musikana uya akakwanisa
kutendeka divi raenda nemota
akabuda ropa mumukanwa
achitofira ipapo.
Ndakarwadziwa veduwee
nemusikana uyu ende manurse
akachema vachienda naye
muchipatara akasvika nekuendeswa
kumotuary sezvo ainge atofa zvake
kudhara.Ndakaona mota yaNigel
ichisvika apa vanhu vainge
vaungana paWalter private hospital
mamwe manurse ndiwo aiva mubish
rekufonera mapurisa.
Ndakapfugama paiva neropa
remusikana iyeye ainzi Anesu
ndikati sorry zvako shamwari wafira
nyaya isiri yako rest in peace my
dear but as long ndichirarama i will
fight for u even
ndisingakuzivi.Ndakabata ruoko
rwambuya vangu tikapinda mumota
yaNigel takananga kumba
.Ndakarondedzera Nigel zvekufa
kwababa vangu akarwadziwa
zvekuti akabudisa mari unoita $500
dollars akanditambidza achiti
Nyaradzo tora mari iyi ubatsirike
pakuchengeta baba vako asi
ndarwadziwa ufunge uye ndinoda
kuti baba vangu vazive nezverufu
rwababa vako.

Ndaingonamata kuna Mwari ndichiti


chengetai briefcase rine
madocuments angu nekuti ndipoo
pane upenyu hwangu. Ndakaburuka
mumota yaNigel tikanoka pagedhe
asi ndakaona kuti gedhe rainge
rakakiyiwa.Ndakasheedzera ndichiti
Antony vhura gedhe iri izvozvi
ndinoda kupinda pamba pamai
vangu kasirai izvozvi ndisati
ndaenda kupolice kundopa report
yemusikana wamaurayisa sei
matora mweya wemunhu asina
mhosva open the gate u evil people.
Travor akamhanya vachiuya
nemakeys akati sisi Nyaradzo
Antony adzingwa basa namhamha
saka atora bag rake akaenda
.Antony apiwa mhosva yekuti
akuregai muchitiza nebag
remadocuments saka ainzi
ngaaende kutaura kudai amai
havapo .
Ndakafambisa ndichaenda mumba
ndichiita kupupira nehasha
.Ndakavhura mumba maTrish
naTanaka wanei vakarara
nevakomana vavo pamubhedha apa
vari mubish kunwa doro zvose
nekuputa mbanje.
Ndakatora makeys ndikakiya
nepanze ndichiti Trish naTanaka
ndava kuenda kumapurisa nekuti
muri kuputira mbanje mumba uye
sei musingarwadziwi nekufa
kwemunhu aikuchengetai chero
vasiri baba venyu .Trish naTanaka
vakavhura door nemukati ndofunga
vaiva nemaspare keys shasha mbiri
dzakafamba dzichiuya mumba
mekutandarira vakati" Nyaradzo
wati kudi asiri baba vedu ndiani
.Ndakatarisa divi ndichiridza
tsamwa ndikati"yes, Freddy Alufaya
havasi baba venyu vhunzai mai
venyu vakuudzei kuna baba venyu u
guys this is the end of the road
pamba pano muri kuzobva chero
zvodii u evil people like daughters
like mother nxii.
*End of chapter 14*
*QUEEN loves u all stay blessed*
This book now onsale $2 only
*NYARADDZOShortStoryWritten*

*Aka QUEEN of the books*


*0718126818*

*Chapter 15*
Ndakaudza Trish naTanaka
chokwadi chekuti havasi vana
vababa vangu mushure mekunge
ndagumbuka zvakanyanyisa
.Ndakaona kuti vana ava vainge
vasina moyo wekuberekwa
chokwadi ungabva wanwa doro
nekufara uchiridza radio apa
mubereki wako ashaika chero
zvichinzi chisalady chacho asi icho
chainge chakanyanya veduwee
.Chimwe chinhu chaindirwadza
ndechekuti baba vangu vaida
Tanaka naTrish zvekusvika
pakuvatakura pamakumbo avo
kunge vana vadiki .

Tanaka naTrish vakachema


vachienda panze vachitaura kuti
Nyaradzo tamirira kuti mai vedu
vauye tivaudze mashoko ako
awataura.Mbuya vangu vakatsinhira
vachiti" ko munofunga kuti
Nyaradzo anonyepa
here?zvaanotaura munofanira
kufunga kuti kumusha kwenyu
kwakadii uye kunogarika here pano
pachasara Travor ega nekuti ndiye
muzukuru wangu wandinoziva

Zverufu zvakaitwa baba vangu


vakachengetwa hongu
ndairwadziwa chaizvo pamoyo
pangu fanika kufuratira tichibva
parinda ndichisiya musharukwa uyu
akazorora zvake.Ndakaona kuti
zverufu zvapera ndikafunga
kundotora briefcase rangu sezvo
ndaitya kuti ndinogona kurishaiwa
sezvo nzvimbo yekwekwe ichiita
zvekucherwa goridhe
pasi.Dambudziko raivapo manje
nderekuti ndaizoisa bag rangu pai
nekuti pamba apa painge pasiri
safe.

Stepmother vangu vakandisheedza


padivi vakati" Nyaradzo ndinokupa
mari yekuenda kuchikoro uye
ndichakuitira zvose zvaunoda asi
iwe ita kuti ndiwane briefcase chete
uye Ndichakupa mari yaunoda pliz
mwanangu ndiratidze pane
briefcase rine mapaper emba.

Moyo wangu wakaramba zvachose


ndikati " no ,mother handisi
kuzokuratodzai pane briefcase
chero zvoita sei.Vanhu vakuru
vakaita dare ravo zvichinzi step
mom vangu nevana vavo vaende
zvavo kundogara kumusha nekuti
musha uyu waiva wemukadzi
vakashaika anova mai vangu.Step
mother vangu vakachema semwana
mudiki apa vakapfugama pasi
vachiti handichazviiti zvakare
ndinovimbisa kubata Nyaradzo
semwana wangu wekuberekwa.

Madhara makuru aiva padare


akazviramba izvozvi .Ndakanzwa
Bamukuru mukoma wababa vangu
wekwabamukuru achiti Nyaradzo
enda mumba undotora school
report rako tione kuti waigona
zvakadii kuchikoro .Ndakasimuka
ndichimhanya sezvo ndaiziva kuti
chikoro ndiyo yaiva hobby yangu
ende ndaigona zvekuti chero
ndakarara ukandimutsa
uchindivhunza zvatadzidza
ndaidedemura zvose Ndakatarisa
divi.Bamukuru vangu vakanditarisa
ndichivatambidza school report
rekuprimary vakati hezvo ko
Nyaradzo uri kupenga here? Ndati
ini ndinoda school report
rekusecondary school kasira kuuya
naro izvozvo. Ndakatarisa mukoma
nababa vangu ndikati aiwa handina
kubvira ndanyora zama
rekusecondary zvachose sezvo
ndaingosiira chikoro munzira .

Mukoma wababa vangu akabvisa


maboni boni kumeso akati
unorevesa here zvaunotaura saka
zvichafambiswa sei zvekuti uende
kuchikoro iwe wava nechifuva
chatunga kudero ko seiko
wakashata moyo mukadzi waFreddy
iwe hona magonero anoitawana uyu
mureport yake munoratidza kuti
anoziva zvaanoita inongova pass
yoga yoga iwe Trish naTanaka huyai
nemareport enyu pano izvozvi
nekuti tinongonzwa nembiri yenyu
yekubhadharirwa mari dzinodhura
kwaMutendi boarding school.

Trish naTanaka vakaramba


vakamira vachimonyororo zvikunwe
zvavo ndakatarisa ndivi ndikati
Jesus handifungi kuti vana vaienda
kuchikoro ava ndine doubt nazvo ini
hamenowo nhasi ndinoonerera
zvangu .

Step mother vangu vakamboda


kureverera vana vavo vachiti" Trish
naTanaka havana kupiwa maschool
report kuchikoro kwavo this
time.Ndakatarisa divi ndikati yoo ko
kuzoreverera vana vachiita mabasa
akaipa.Bamukuru vangu vakati " hey
woman usapindura kana tichida
kugadzirisa vana ava iwe Trish
naTanaka endai mumba mundouya
nemaschool report enyu izvozvi.
Zuva iri ndakaseka veduwe
ndichiona mashura chaiwo vana ava
vainge vasina kana chinhu chinonzi
report zvaro kusvika Bamukuru
vangu vati hazvinetsi regai
ndifonere headmaster wenyu auye
tinzwe kuti chii chinonetsa.
Headmaster vakafonerwa apa Trish
naTanaka vainge vasisina
kugarisika zvachose .Headmaster
vakataura mashoko makuru
akapedza munhu wese simba
vachiti" Trish naTanaka vakadzimwa
muregister kudhara vasingachauyi
kuchikoro asi taingonzwa nemamwe
mastudient achiti" Tanaka naTrish
vari muMasvingo mutown
mavanoroja vachifara zvavo zvose
nekuenda kumanight club saka vana
ivavo havachasi vepano pachikoro
uye isu sematicha takazama
patinogona napo tikavakonewa
zvachose.

Ndakabata musoro wangu ndikati


"Tanaka naTrish why now saka mai
ndishandisa ndichiwacha hembe
dzenyu zvose nekuayina ndichiti
muri kuenda kuchikoro izvo hamuna
kwamaienda zvenyu eish why are u
so wicked.
Ndakarangarira Trish achindipa
zenya rembama achiti Nyaradzo
hauna kuwacha pabhurukwa angu
sei zvose nemabraa.kutaura
chokwadi ndairamba kuwacha
hembe dzemukati fanika Trish
aitoda kuti ndiwache mabhrukwa
ake aiva akatsvuka neropa aiwa
izvo ndakaramba zvangu handina
kuzvikwanisa zvachose.
Bamukuru vangu vairova zvekuti
waiita munhikwi chaiwo shasha
yakatora rope ikati iwe Tanaka
naTrish pindai mumba ndinoda
kukugadzirisa kana izvozvo zvapera
morongedza mabag enyu moenda
namai venyu kundogara kumusha
ndofunga munhu wese anozviziva
kuti imba ino inodana zita ramai
vaNyaradzo hakuna asingazivi
izvozvo pano.

Trish akamhanya achipinda mumba


apa achiridza mhere ndakaseka
zvangu ndikati" hezvo ko vana ava
vanotyawo kurohwa nhai vakoshiwa
here kuti vaindirova senyoka
yapinda mumba.

Trish achingorohwa mboma imwe


chete akamhanya panze achisvika
nekupopomedza
achirutsa.Ndakabata musoro wangu
ndikati hezvo ko kurohwa
kunorutsisa here?Bamukuru vangu
vakaridza tsamwa vakapotsera
shamhu kwakadaro vakaeneka
vachienda zvavo kumusha asi
mukuru uyu akasiya avimbisa kuti
step mother vangu vaifanira kuenda
kundogara kumusha.

Makuseni ndakanzwa batai batai


step mother vangu vachirova Trish
vachiti mimba iyi ndeyaniko taura
munhu akakupa nhumbu ende
hauna zvaunoramba nekuti
Pregnant test iyi ine mitsetse
miviri.Ndakaita kuvhunduka ndiri
muhope wanei Trish ari kurohwa
kwete zvekutamba apa Tanaka
anotutsira achiti mom chimuregai
ndikuudzei Trish akamitiswa nasir
vekuchikoro kwedu.

Stepmother vangu vakabata musoro


wavo vakati" hezvo mune chokwadi
here vana imi ende mandinyadzisa
chokwadi. Ndaingoseka zvangu
ndakahwandira seri kwedoor ndikati
gegede game yachinja shiri yabvuta
rhekeni manje.

Trish naTanaka vakageza zvavo


ndikaona vachienda pamota. Mbuya
vangu vakafamba vachienda
kwavari vakati hey vana imi siyai
makeys emota iyoyo fambai netsoka
dzenyu muende kutown.Ndakaona
vana vachidzoka kutown
vakabatana maoko apa Tanaka
achisheedzera kuti mom huyai
mubate Trish ari kupera simba
tasiiwa netax pagedhe
.Ndakamhanya ndichibuda mumba
wanei hembe dzaTrish dzakadzvuka
ropa apa ari kufamba achiita
kukanyaira. Makumbo aTrish
raingova ropa roga .
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati "eish 2 little devil mabva
kundoita abortion zvee shame on u
people.
*End of chapter 15*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZO shortstory written by
SHYLEEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 16*

Ndakashamisika ndichiona Tanaka


naTrish vakabatana maoko vachibva
nekugedhe apa kedu Trish ropa riri
kuita kuyerera
nemakumbo.Ndakabata musoro
wangu ndikati oooh my God Trish
muri kubva kundobvisa nhumbuka
imi ko ropa rakawanda kudaro riri
kubva pai nhaiwe"Trish
nekundipindura kose haana asi
akangodonhera pasi achitofenda
sezvo ainge abuda ropa
rakawandisa.
Ndakarembedza miromo yangu
ndichiti"eish vamwe vanhu so
vakaoma moyo kushinga
kundobvisa mimba ko waimboiitirei
nhaiwe Trish manje akazoita mimba
ndiani pakati pangu ini newe.Step
mom vangu vakarova Tanaka
mumusoro vachiti ko Trish aita sei
munhu abva pano pamba akanaka
inga ndakuudzai wani kuti
munofanira kundoona family doctor
vaMoyo,Tanaka akachema achiti"
Mom taenda kundoona vaMoyo
tikavapira nyaya yedu yeabortion
asi varamba kutinzwisisa vachiti"
basa rangu rinopera uye mai venyu
vakauya pano vachindibhadhara
mari yekuti ndinyore bepa renhema
rekuti step daughter wavo ane
nhumbu manje zvinhu zvakadaro ini
zvangu handichadi ko sei muchida
kundipinza padambudziko rakadaro
izvozvi mauya nemwana uyu kuti
ndimubvise nhumbu pano better
mudzokere zvenyu kumba kwenyu
aiwa vaMoyo vapopota kusvika
tabva pachipatara tikatsvaka vamwe
doctor vechikadzi vazotibatsira
kuita abortion . Ndapota zvangu
amai handei kugeneral hospital
tindorapisa Trish uyu asati afa.
Mai Trish vakatora vana vavo
vakapinda mumota vakananga
kuchipatara.Ndakarovanisa maoko
angu ndichiti hezvo Mwari pindirai
mubatsire mai ava saka izvozvi
hazvinyadzisi here kuti mwana
anobvisa nhumbu,Ndiri pakati
pekushamisika ndakanzwa foni
yangu ichirira ndakasekerera
ndichiona number dzakanzi Nigel
my love .Ndakadavira foni
ndichisekerera zvangu apa
ndichitsvaka nzvimbo iri
comfortable yekunyatsogara
ndichitaura nemuridzi wemoyo
wangu Nigel.Mbuya vangu
vakafamba vachiswedera padhuze
neni apa vachisekerera ,Ndakatarisa
kumeso kwagogo vangu ndikati eish
ambuya ndiri kuona mufaro pachiso
chenyu ko kwakanaka here nhai mai
vababa vangu.
Mbuya vangu vakagara padhuze
neni vakati Nyaradzo ini ndiri
chembere ende handinyarari kana
ndikaona chinhu chakanaka
mwanangu ndiri kunzwa something
is good pamukomana wako uya
anonzi Najeru,ko Kuzodaro
ndakavhunika zvangu mbabvu
nekuseka ndikati "ambuya
mungabva masheedza future hubby
wangu nezita rechikaranga here
kusvika pakumuita mudhara chaiye
haanzi Najeru anonzi Nigel .
Hezvo unoti ndichiri mudiki here
nhai Nyaradzo ndava munhu
mukuru ko ndakadzidza starndrd 5
yakare saka churumbi
chinondinetsa kusheedza
okay,zvisinei hazvo Nyaradzo
ndinoda kuti uroorwe nemukomana
uya ndikupei maropafadzo ndichiri
kufema ndine shuviro yekuti
uroorwe nemurume anozokubata
semukadzi wamambo.
Zvaambuya vangu asikana ko
ndikaroorwa naNigel ndoita sei
panyaya yechikoro rangarirai kuti
handina kupedza form 1 zvayo iye
Nigel akaenda kuUZ ane madegree
paari ipopaya ini handidi kuzondoita
D.C.C iyi inomirira daddy chakati
chapera aiwa ambuya ndiri
kumboda kuenda kuchikoro ini kana
iye Nigel achindida anomirira
kusvika ndanyora form four aah
angarwadziwa nekumirira 2 years
dzoga dzasara here? .

*Grandma*: Okay, if u say so no


problem my child asi
ndangokuudzawo kuti mukomana
uya usamurasisa ndiri kuona
kunaka kwake kwete kunakira panze
seonde asi moyo wake chaiwo
wakanaka sedamba rine mukaka
rino raramisa ndumurwe,hona kuti
Najeru akatenga Coffin rakanaka sei
pafuru rwababa vako ndakatarisa
Freddy akarara mucoffin ndakati
zvimwe mwana wangu achamuka
akagara pasi kuri kunanaka
kwecoffin kuita nekuramba kuti
vatezvara vake vavigwe neNyaradzo
ii wozodei nhai Nyaradzo paya
Mwari vazarura nzira kwayo batisisa
zvako muzukuru wangu.
Zuva iri ndakapinda basa rekurairwa
kusvika ndati" ambuya ndava
kuenda kundogeza sezvo
ndakakuudzai kuti ndakasiya
ndacherera briefcase musango
zvino ndinoda kundotora
handichadi kuti rigare musango
sezvo muchicherwa mari rinogona
kutorwa.Ndakageza ndikakisa
mbuya vangu padama ndikarova
nhetserwa ndakananga musango
mandainge ndakaviga briefcase
rakachengeta upfumi
hwangu.Ndakamira kunze kwegedhe
ndikati Mwari ndini mwanasikana
wenyu Nyaradzo Alufaya ndinoda
chengetedzo yenyu ndichipinda
musango umu sezvo ndine vavengi
vakawanda pano panyika
vanorwisira kutora simba ravabereki
vangu.Ndakataura mashoko
ekupedzisira aya ndichipinda
musango.
*End of Chapter 16*
*Queen loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN the books*

*0718126818*
*Chapter 17*
Ndakamhanya ndichipinda musango
umo mandainge ndakasiya bag
rangu raiva nemadocuments ose
ecompany uye mapepa emba
yevabereki vangu.

Ndakadzungaira nesango rose apa


ndainge ndisingachazivi nzvimbo
yandakasiya bag rangu zvino hana
yangu yainge yorova ndichitya kuti
pamwe briefcase rangu rakatobiwa
zvaro.Ndakasvika pakuneta
kutsvaka ndikazembera zimuti
remubvumira randaifungira kuti
ndiro randakacherera briefcase
rangu pasi paro ndakachema
ndakabatira muti uyu ndichifunga
chaizvo kuti ndakazvifambisa sei
uye zuva iri ndaiva neconfusion
yekurwarirwa nababa vangu.

Ndakaimba masorrowful songs


angu ndichitenderera muti
wemubvumira wandaifungira manje
dambudziko raivapo nderekuti
kwainge kwamboita mazuva matatu
kuchinaya heavy rain zvino pasi
painge patsindirika.Ndakaimba
nziyo dzangu ndichichema
ndakagara zvangu ndichiti" *who
will wipe my tears pliz mother bring
back my joy*.Ndakazvipira zuva iri
kuti handiendi kumba kana ndisina
kubata bag rangu muruoko kana
zvanetsa ndicharara pano kusvika
mangwana.

Ndakachema misodzi yekamba


hama dangu zuva iri kusvika
ndabatirwa nehope zvangu
ndakagara pasi pemuti.Ndiri
muhope kudaro ndakanzwa inzwi
raiti Nyaradzo its u again ko sei
usingadi kuti mweya wangu uzorore
inga ndakakupa upfumi hwako
hwaifanira kuva mumaoko
ako.Ndakapindura mukadzi uya
ndichiti "pliz mother ndibatsirei
nekuti handichaoni nzvimbo
yandakacherera briefcase muno
musango manje handingadzokeri
kumba kana ndisina bag iroro.
Ndakakuudza kuti nguva yangu
yekuzozora yasvika let me rest inga
unozviziva wani kuti ukachema
misodzi yako inokonzeresa chero
kundengendera kwenyika
,.Nyaradzo simuka ipapo utore
briefcase rako pawakasiya hapana
akambobvira atora asi kuti mvura
zhinji yakanaya ikatsindikira
briefcase muvhu chete simuka
mwanangu utore bag rako uende
kumba hona kunze kwadoka.
Ndakapepuka muhope ndichiringa
ringa kwese zvekuti ndakasekerera
ndichiona briefcase rangu riri
padhuze neni .Ndakamhanya
ndichinhonga bag iri ndakananga
kumba apa kunze kwainge
kwasviba.Ndakawana pamba
pakazara vanhu apa step mother
vangu vachichema vachisheedzera
kuti Trish ashaika kutaura kudai ari
mumotuary.Ndakadzungudza
musoro wangu ndikati" shame saka
kufirwa kunorwadzawo kudaro nhai
ende zvakaoma ko baba vangu
zvavakafa wani ndikarwadziwa
zvakanyanyisa ikozvino zvaiwanawo
ngwarati kuzvuviwa mavara ayo
achizara mavhu ende uko ndiko
kunonzi kuzviparira mhaka ndiyo
inonzi ndomene haichemedzi nekuti
vazviurayira mwana wavo vega.
Ndakashushikana nepfungwa kuti
zvino ndichasvika kumba sei nebag
iri vanhu vakazara pamba kudai
better ndifonere zvangu Nigel
azonditora pano
pagedhe.Sezvineiwo foni yangu
ndaiva nayo muruoko .Ndakafonera
Nigel ndikati pliz my love svika
pamba pedu izvozvi nekuti ndiri
pama1 ende chinhu chandinacho
pano ndinoda kupa iwe woga sezvo
ndichivimba newe ndapota zvangu
ndakumirira i need your help my
love.Nigel akamboseka zvake
akazoti iwe Nyaradzo sei uchifarira
kudemba sitereki inga ndakakuudza
wani kuti ukaita problem ndifonere
thats why ndakakutengera foni
ndinenge ndichida kuti ubatsirike
fast okay, baby girl rega ndisvike
ipapo ndipe 30 minutes only.

Nenguva isipi ndakavhenekwa


nemalights emota ndikaziva kuti
Nigel asvika.Ndakaringa ringa
ndichitarisa mativi ose sezvo
ndaida kuona kuti hapana munhu
aindiona here? Ndakapinda mumota
yaNigel ndikambotura befu
ndichitsveta briefcase paseat
remota.Nigel akanditarisa kumeso
kwangu akati chii chawakabata nhai
Nyaradzo ? Where did u get this
briefcase .Ndakabata hana yangu
ndichifemedzeka ndikabata muromo
waNigel kuti asanzwikwa
nevanhu.Ndakavhura audio yangu
yandakataper baba vangu
vachitaura vasati vashaika.Zvino
ndakaisa foni panzeve dzaNigel
akaterera mashoko ose aitaurwa
nababa vangu ,Nigel akabata
stirring yake achitura befu kunge
munhu anofungisa .Ndakanzwa
Nigel ava kuti Nyaradzo becareful
nedangerous game rako iri ende
ndaona kuti why stepmom vako
vainge vakakuvenga yaiva nyaya
yeupfumi uhwu saka todii manje
mira tizame kuvhura briefcase iri
tione mapepa acho arimo kuti anoita
basa rei.
Nigel akavhura briefcase akabata
muromo wake achiti babe wainge
uchiziva here kuti this bag rine mari
maUS dollars akaita mabrick ari
pamusoro zvozoti mapapers ari pasi
are u sure kuti Nyaradzo wakapiwa
bag iri nababa vako kana uchirevesa
my love pika nebible
tione.Ndakapinda ndikati i swear to
God Nigel ndakapiwa bag iri
nababa vangu pavakashaika ko
ndaizofembera here kuti ndimo
munogara mapapers ose uye audio
wainzwa wani Nigel.
Ndakavhara bag riya ndikati Nigel
enda nebag iri kumba kwenyu ini
handisi kusvika naro pamba pedu
handiti uri kunzwa kuti pamba pedu
paitika rufu here Trish ashaika
mushure mekunge abvisa nhumbu
saka handisati ndaziva kuti
zvakamira sei .Ndapota zvangu my
love chengeta bag iri nekuti ndaona
mari iyo ende ndiri kuda kutsvaka
nzvimbo Kuboarding school
kwandaishuvira vamwe
vachiendeswa ini ndichiswera ndiri
house girl wepamba uye
kuwachiswa mabhurukwa emukati
ane ropa zvose nemabraa .

Nigel akandibata ruoko rwangu


akati " Nyaradzo forget the past
chienda kumba uye bag rako
ndicharichengeta zvose nemari
yako handibati kana sendi uye
nzvimbo yechikoro ndinofanira
kukubatsira kutsvaka boarding
school inodzidzwa nemazvo okay,
babe usati waenda kumba
ndiudzewo kuti ukapasa unoda
kuzoshanda basa rei.

Ndakavhara kumeso kwangu


ndikati "okay, Nigel kana ndikapasa
ndiri kushuvira kuita doctor kunge
mai vangu .Nigel akaseka zvake
achikisa ruoko rwangu achiti "okay
madam doctor chiendai kumba.
Ndarova Nigel kambama kerudo
ndichiburuka mumota yake.
Ndakasvika pamba Stepmother
vangu vachitukwa nevanhu kani
zvainyadzisa vachinzi munochema
chii munhu mukuru azviurayira
mwana wake handiti munojaidza
vana muchifunga kuti muri kuvadisa
chionai manje zvazoitika tibvirei
zvedu kumhepo nyararai kuti zii
muchengete mwana wenyu
murongedze mabag enyu muende
kumusha nekuti musha uno
unodanana zita raNyaradzo.Kutaura
chokwadi ndainge ndava kunzwa
tsitsi chero munhu akatadza asi
zvastep mom vangu zvainge
zvavawandira sezvaJudas.Tanaka
aingosvimha misodzi akagara
pasofa .Ndaingonzwa mumoyo
mangu kuti dai ndaregerera
stepmother vangu zvose
zvavakanditadzira sezvo bhaibheri
richiti "gona kuregerera uye
kanganwira wokwako sekuregerera
kwandinoitawo iwe mutadzi.Moyo
wangu wakarwadza ndikafamba
ndichienda painge pakagara
stepmother vangu ndikati" wipe
your tears i forgive u mother.
*End of Chapter 17*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZO ShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN the books*

*0718126818*
*Chapter 18*
Ndakafamba ndichienda painge
pakagara step mother vangu
ndikasvika ndichipfugama ndichiti
pliz mother ,wipe your tears i
already forgive u ,Step mom vangu
vakandibata ruoko vakati waita basa
zvako Nyaradzo asi utsinye
hwandakaita muupenyu hwako
handikwanisi chero kurondedzera
kuti hwakadii uye handifi
ndakazviregerera ini
pachangu.Ndakapukuta step mom
vangu misodzi nehembe yandainge
ndakapfeka ndikafamba ndichienda
pana Travor naTanaka
tikambundikirana pamwe chete
semhuri.

Mbuya vangu vakandisheedza


panze usiku hwacho vachiti
Nyaradzo chero ukagona kuregerera
step mother vako zvinhu zvakanaka
chaizvo asi ini sekuona kwangu Mai
Trish haasi kudzoka kuzogara kuno
kukwekwe asi avachasara kumusha
patichaenda kundoradzika Trish
sezvo vakuru vedare vabvuma kuti
Trishi andoradzikwa kumusha
kwedu kubikita sezvo ari mwana
akakura achichengetwa
mumhuri.Ndakawirirana nezano
rambuya vangu sezvo
ndaisanzwisisa kuti step mother
vangu vaizofungei mangwana
semunhu aitomboronga matsotsi
kuti ndipfurwe nepfuti
vakazourayisa munhu asina mhaka.
Takamukira semhuri tichienda
kumusha kwedu kuBikita
kwakaradzikwa Trish ko Tanaka
aichema zvainzwisa tsitsi pamwe
chete namai vake .Zvakati zverufu
zvapera vanhu vakagara dare nekuti
Stepmother vangu vaifanira kusara
vachigara kumusha .Ndakatanga
kufunga kuti ndichandogara ndoga
nekukura kwakaita imba yedu
yekuMasasa park zvikabuda
here?fanika mbuya vangu vaiva
munhu mukuru saka hapana nyaya
dzavaitaura
dzakawanda.Ndakamuka makuseni
ndikaenda paMushana boarding
school apo pandaitsvaka nzvimbo
yeform 2 sezvo paiva padhuze
.Mwari vakapindira zvekuti hazvina
kundinetsa pandakabudisa school
report rangu reform ndakabva
ndatowana nzvimbo
pakarepo.Ndakafara chaizvo sezvo
ndisina kubvira ndavhunzwa
transfer later ndakangonzi tinoda
mari yeschool fees wogouya zvako
kuchikoro.

Ndakafonera Nigel ndichida


kumuudza good news yekuti
ndawana nzvimbo yechikoro
paMushana boarding school .Nigel
akaramba akanyarara zvakanetsa
moyo wangu kuti sei chido
chemoyo wangu asingafari kuti
ndava kuenderera mberi nedzidzo
asi Nigel anonyepera kundida
here.Foni yaNigel yakaramba iri
hold on ndichingoti hallo , taura
neni kani my love asi ndakuresvera
here.
Foni yakazodavirwa nenzwi
randisingazivi.Ndakashamisika
ndichishaya kuti chii chiri kutora
nzvimbo.Ndakazonzwa kuti zita
rangu ndinonzi Arnold ndiri
shamwari yaNigel asi izvozvo
haakwanisi kutaura pafoni sezvo ari
pakuchema nekuti arasikirwa namai
vake vashaika izvozvi Kutaura kudai
tiri kuchipatara asi vatoiswa zvavo
mumotuary sezvo tasvika navo
kuchipatara
vatoshaika.Ndakadzungudza
musoro wangu ndikati " shame
zvaimbotaura Nigel zviya kuti mai
vake vane chirwere cheshuga ende
zvakaoma umuudze kuti ndini
Nyaradzo ndafona ende very sorry
shuwa handina kuziva saka waona
ndichifona nemufaro.

Ndakapererwa ndichinzwa mashoko


ekuti mai vaNigel vainge vashaika
apa ndainge ndisina kunzwa
kurwara kwavo saka zvakafamba
seiko .Ndakapisana nepfungwa
ndichaenda kumba ndichishaya kuti
zvafamba sei chero mufaro wekuti
ndawana nzvimbo yeform 2
wakambopera ndichinzwa pain
yaNigel yaari kunzwa seyatova
pamoyo pangu.Kutaura chokwadi
ndakarwadziwa nekufa kwamai
vaNigel kunyange vainge
vakandivenga zvavo vachiti ndiri
street kid asi chinhu chainyanya
kundirwadza ndechekuti Nigel
aidemba achiti" Mwari wedzerai mai
vangu makore ekurarama nekuti
kurarama mai vasipo panyika
marwadzo shuwa chinhu chinonzi
mai vako chakakosha muupenyu
God bless my mother where ever
she is now.

Ndakafamba ndichienda kumba asi


mufaro wainge wava
mushoma.Ndakakwira kombi
ndichinzwa kuti pamoyo pangu
pakagara bundu rekurwadziwa
nekuti marwadzo ainzwa Nigel ndiyo
pain yandakatora kuisa pamoyo
pangu. Ndakasvika pamba
nekukasira sezvo paMushana
boarding school paiva padhuze
nepamba pedu zvekuti ndaikwira
dhora kusvika pamba pedu
paruzevha painge pavakwa nababa
vangu vasati vashaika.

Mbuya vangu vaindida zvekuti


vakandiona ndichibva nechekure
vaisimuka vachiuya kwandiri apa
vachiimba kanziyo kavo zvose
nekutambirira manje ini
zvaindinakidza nekuti
ndaitotambawo ndochifara chaizvo
ende ndainzwa kuti dai baba vangu
vakandiisa mumaoko ambuya
vangu ndakakurira kumusha zvangu
kutaura kudai ndichitaura zvimwe
ndaendeswa kure nechikoro .

Ndakatambirira tichifara nambuya


vangu ndichivaudza good news
yekuti ndawana nzvimbo
paMushana boarding school. Step
mom vangu vaingonyara nyara
vakagara kudurunhuru kwainge
kune marinda apa ndipoo painge
paradzikwa Trish.Tanaka ava
mubishi kurudunura mai vake
musoro kedu Travor ainge aenda
zvake kundotamba bhora nevamwe
vakomana vemuraini.

Stepmother vangu vainyara kani


fanika pavakanzwa kuti ndawana
nzvimbo saka ndava kuendawo
kuchikoro kuboarding .Ndofunga
shasha yaingoti tichaonerera kuti
Nyaradzo wacho anowanepi mari
yekuenda kuchikoro kana ndisiri
kuKwekwe ndichimhanyisa
mabhizimusi ababa vake sezvo
ndichisara kuno
kumusha.Ndaingosvorana nastep
mother vangu ndiri mubishi
rekurongedza mbatya dzangu sezvo
taida kumukira ticgidzokera
kukwekwe nambuya vangu
.Ndakaona shasha yorukwa magodi
mumusoro ndikati ehee iyi ndiyo
mviro mviro yenhamo chaitemura
chava kuseva.
Kumusha ungakugara neweave here
hazviiti asi kutorukwa mabhanzi
chaiwo ndiwo anotoita nekuti mvura
inoenderwa kundochera kurwizi uye
huni dzinoda saka kumusha
hakurukwi mucheno zvachose.Vhiki
mbiri dzakakwana taradzika Trishi
tikarongedza mbatya nambuya
vangu kuti tiende zvedu
kudhorobha.
Tanaka akaona ndiri seri kwemba
ndiri mubishi rekusunga vhunzi
rangu .Ndakaona shasha yamira
ichipeta zvikunwe apa misodzi iri
kuyerera nematama.Ndakaratidza
kushamisika ndichitarisa Tanaka
ndikati ko kwakanaka here madam
asi pane munhu afa futi here nekuti
ndufu dzanyanya.
Tanaka akatyora muzura achida
kupfugama apa misodzi ichiyerera
nematama. Tanaka akatanga
kuchema achiti Nyaradzo
ndaikumbirawo ruregerero pane
zvose zvandakatadza ndapota
hangu ndaitadza
nekusaziva.Ndakaguratira
nemusoro wangu ndikati Tanaka
sorry zvako your apology not
accepted now nyatsofunga zvose
zvawaindiita kundiwachisa mbatya
dzako dzemukati dzainge
dzakatsvuka ropa aiwa
handikuregereri zvekumhanya kana
Mwari vachinditonga ndiyoyo asi
Tanaka wakaita zvinhu zvihombe
muupenyu hwangu ndaenda ini
musare muchengete musha
zvakanaka uye Travor ari kutevera
kukwekwe mangwana sezvo mari
yake yebus fee ndamusiira .

Tanaka akasara akazembera


madziro achinzwisa tsitsi apa
misodzi ichiyerera .Ndakaona moyo
wastep mother vangu warwadza
vakabata mwana wavo musoro
vachimunyaradza sezvo ndainge
ndamupindura mashoko
makuru.Hongu handaikwanisa
kuregerera Tanaka nekuti akada
kupindira godo remadzimai edu apa
ini vangu mai vainge vasipo saka
mhosva yangu yaiva yei apa.
Ndakabereka mabag angu
ndikafuratira ndakananga kukwekwe
apa mbuya vangu vaitevera
kumashure nebag ravo
rembatya.Ndakasiya stepmother
vangu naTanaka vakambundikirana
vachichema Ndakadzungudza
musoro wangu ndikati" dzava
ndangarira dzemhou kufunga
kwayakaisa nyanga dzayo.
*End of Chapter 18*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*

*Aka QUEEN of the books*


*0718126818*

*Chapter 20*
Ndakavimbisa Nigel kuti
handaizomusiya chero zviome sei
ko ndainge ndabatsirwa naNigel
muupenyu hwangu zvekuti
ndaitadza kuziva kuti
ndichamutenda nei mwana
wevaridzi,Takapinda mumota
tikaenda zvedu kuchikoro apa
taiseka zvose nekuita nyaya tiri
mumota .Ndakati ndasvika
kuchikoro paMushana boarding
school ndikaratidzwa kamuri yangu
yandaizogara uye ndaisheya
neumwe musikana ainge
akasungunuka chaizvo zvekuti
ndakatenda Mwari ndikati maita
zvenyu.

Musikana uyu akasimudza ruoko


rwake akati my name is Lolita its
nice to meet u Nyaradzo rega
ndikubatsire kusimudza trank rako
eish ko ihanzvadzi yako here?
gentle man akamira panze
apo.Kutaura chokwadi
ndakabvumira nemusoro wangu
ndichida kunzwa pane nyaya yake
ndikati" yes,anonzi Nigel ko sei
wavhunza kudaro nhai Lolita.

*Lolita* : Aiwaka ndangotapirirwa


nestyle yake chete kk saka zvirisei
zvenyu tete chiendaika mundoeneka
Nigel uyo hona gentle man ari
kutsva nezuva akamira pamota
aiwaka masalady akadai anogona
kunyunguduka kunge buttercup
magarine kkk ndikazviruza zvangu.

Ndakatarisa divi ndichifunga


mashoko amai Petty ekuti Nyaradzo
becareful nenyaya dzekuboarding
school sezvo kune vana
vakafumuka saka ndaudziwa
chokwadi here? paya how come
munhu wemusikana kuchiva
mukomana asina kubvira amutarisa
chero pachiso chake zvacho.

Nigel akatevera mukamuri muya


ndakavarairwa ndiri pakati
pekufunga zvangu amai vaPetty
.Ndaikata kuvhundukira Nigel achiti"
babe huya panze tinzwe ndava kuda
kupinda munzira kuti ndidzokera
kumba manje.Lolita akachinja face
yake akati "Nyaradzo ndaresva
kunzwa here inga wanzi babe
wani.Ndakatarisa musikana uya
kubva kumusoro kusvika
kumakumbo ndikati yes, Lolita
hauna kuresva kuzwa Nigel is my
everything were are already
engaged.
Lolita akatanga kuita cool
achinhonga bhuku rake akasvika
achijambira pamubhedha wake
shasha yakamboruma chikunwe
achifungisisa akazosimidzira achiti"
okay Nyaradzo u are a luck girl
uchengeta mukomana iyeye nekuti
ndaona paita future apo.Ndakaseka
zvangu ndichibuda panze ko
zvaLolita zvakandityisa ini kutaura
chokwadi kuita kunge munhu
akandiziva kudhara kudaro kubva
awanza nyaya saizvozvo shuwa.
Ndakasvika ndichigadzirisa hembe
yaNigel ndakamutarisa mumaziso
make mumboni chaimo ndichinzwa
kuti ndapera basa zvino nerudo
aiwaka kudanana nemunhu
wanoziva kuti anokuda zvinonakidza
kani.Nigel akanditarisa akati
Nyaradzo ndiri kuona kuti moyo
wako uri kurwadza kuparadzana
neni asi chimboita zvechikoro
handiti unoziva kuti ukafungisisa
nezvangu unofoira chikoro here .
Ndakayerera misodzi Nigel
achipinda mumota yake kuti aende
.Ndakatanga kuyerera misodzi
kunge mwana mudiki
ndichirwadziwa nechido chemoyo
wangu achienda. Aiwa Nigel
ndaimuda kani chinhu
chandainyanya kumudira
ndechekuti chero tiri tese haana
nguva yekufonerwa nevamwe
vasikana kana kutaura zvake paap
nevamwe vasikana zvinova
zvindidzikisira rudo asi aiva
nenguva neni chete saka ndainge
ndaperera zvangu ini.

Ndakavhunduswa naLolita
achindirova kumusana kwangu akati
watsap up girl hezvo, Nyaradzo u
are crying because of a man come
on girl wipe your tears mukomana
haachemerwi mhani anokuitisa
famba tiende siya Nigel afambe
zvakanaka hausi kuona here kuti
Nigel wacho ari kutorwadziwa worse
kutodarika iwe uri kumuchemera.

Ndaitarisa zvangu kumeso


kwaLolita kana achitaura nekuti
musikana uyu aiva munhu
akangwaranduka zviya
zvekuzhangandira chaiko. Kumeso
kwaLolita kwaipota
kuchipindurudzwa kunge magwinya
ari kushandurwa mumafuta
musikana iyeye paiva nebasa
hombe apa hembe dzacho
dzaaipfeka ndaizoseka zvangu
ndichiti ko kurega zvake kupfeka
akafamba akashama hazvisi nani
here pane kufamba akapfeka
mutumwi wega iri skirt.
Ndainge ndava nekatsika kekuti
ndikatanga kutaura naNigel
ndaizopedzisira ndavakuchema izvo
ndainge ndava kumufunga
.Ndakazoona kuti hezvo zvandava
kutopengeswa nerudo kusvika
pekupedzisira hongu Nigel
ndinomuda chaizvo asi regai
ndimboita zvechikoro.
Rimwe zuva ndakapepuka pakati
peusiku ndikona aikaka ko Lolita
zvaari mubish rekugadzira makeup
usiku .Ndakatarisa nhambo pafoni
yangu ndichigara pasi ndikati"
hezvo nhai Lolita uri kuda kuenda
kupi asi mune malesson anoitwa
usiku kanhi.Lolita akamhanya
achindibata muromo wangu akati
"Nyaradzo nyarara ndinoda kuenda
kunight club kumafaro .Ko
hauzvizivi here?kuti tinobuda pano
nemafriends angu every weekend
tichienda kugedhe kundopa
musecurity guard mari yekuti
atibvumire kubuda gedhe tichienda
kumafaro ko unofunga kuti mari
yandinodya ndinoiwana kupi.

Ndakasimuka ndikagara pasi


ndichiti" eish Lolita what u are
doing is very bad inga ndakanzwa
uchitaura life history yako inopisa
tsitsi wani uchiti mai vako
ichirikadzi uye vakatengesa mombe
dzose kuti uzopedzisa chikoro
chako pano paboarding wadarirei
nhai Lolita kutsvaka kuuraya mai
vako nestress nguva yavo isati
yakwana please i beg for sake of
your poor mother.

Lolita akaridza zitsamwa achirovera


musuwo achibuda zvake mukamuri
apa akaita kushaya chaiko
.Ndakamhanya ndichidongorera
nepahwindo ndikaona aikakako ko
zvachiri chikwata chevanasikana
vari kubuda gedhe vakashama saka
musecurity uyu anoita mari nevana
ava nhai .

Rimwe zuva iri weekend


ndakafunga zvangu kuenda kumba
kwedu kuBikita Kuweekend sezvo
kwaiita dhora kusvika ikoko
kwaigara stepmother vangu
naTanaka .Ndakaburuka kombi
ndikaenda pamba .Ndichiri
nechekure ndakaona vanhu
vaifamba vakatakura huni umwe
aiva nemugomo wemvura
.Ndakamira ndakatarisa sezvo
vanhu ava vainge vakananga pamba
pedu .Ndakatarisisa ndikarohwa
nehana ndichiona Tanaka namai
vake vachepa kuita zvichembere
zvemuruzevha kutaura chokwadi
moyo wangu wakarwadza
zvekurevesa apa stepmother vangu
vainge vazuka kunge maruva
echirimo kuri kuonda .Ndakakanda
nharu nhatu misodzi yangu
ichitevedza matama ndichibatsira
Tanaka kusimudza mutanhirwa
wehuni waiva mumusoro make
mwana wevanhu akatanga
kutasanudza mutsipa wake apa ini
ndichijatira svinga rehunhu pasi
sezvo rairema zvekuti dhuu.
*End of Chapter 20*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 21*
Ndakafunga zvangu kumboenda
kumusha kundoona Tanaka nastep
mother vangu kuti vari kuzvifambisa
sei paruzevha apo .Kutaura
chokwadi ndakanzwa moyo wangu
kuenda kure zvachose nekuonda
kwainge kwaita stepmother vangu
uye Tanaka wacho aipisa tsitsi
kani.Hembe dzacho dzainge
dzakapfekwa dzainge dzisingaiti
ende waiona wega kuti zvinhu
hazvina kumira zvakanaka
.Ndakanzwa tsitsi ndichiturura
svinga rehuni mumusoro maTanaka
ndichipotsera kudurunhuru
.Ndakamboramba ndakatarisa
ndichiti Tanaka unoreva here? kuti
wabva nesvinga rehuni iri kusango
kana kuti wabva wakatakurirwa
zvako wazotsigwa wasvika padhuze
nepamba .

Tanaka akamonyorora hembe yake


achiti"ndini zvangu ndabva
ndakatsiga wani sisi Nyaradzo.
Ndakatarisa Tanaka kumeso kwake
ndikati ndaresva kunzwa here
chimbomira nditsvake chitanda
nditange ndasokose nzeve dzangu
nekuti ndiri kushaya matangiro aita
humatsi panzeve dzangu okay
,ndakasokosa manje wati kudii apa
dzokorora mashoko awapedzisira
kutaura Tanaka nekuti handina
kubvuma kuti mashoko iwawo ane
rukudzo abva mumukanwa mako .

Takanaka akanyemwerera
achimhanya mumba achitora
chituro kuti ndigare .Shasha
yakasimudzira ichiti" ndati ndini
ndabva ndakataura huni wani sisi
Nyaradzo ndava kugona chero
kubika zvose nekuwacha vhunzai
mom kana mune hembe dzenyu
dzekuchikoro dzakasviba dziri
musatchel ndipei ndikuwachirei
dzose muzobvuma kuti basa rose
ndava kuri gona .
Ndakasimika ndichiratidza
kushamisika apa ndainge
ndakabata musoro wangu ndichiti"
mai vangu muera Shumba iweee
saka ndikakupa hembe dzangu idzi
Tanaka mvura yacho yekuwacha
unoiwana kupi.

*Tanaka*: Aikaka sisi Nyaradzo


ndinoenda kukanara kundochera
mvura nebhara rine zvigubhu zvitatu
ini.ko handiti ndiko kwatinochera
mvura here? kana ngoro yamai
simba isina kuenda kukanara sezvo
tajaira kukumbira tikaona vasunga
madhongi avo asi kuti ndinoda
kufadze imi sisi vangu saka
ndafunga kutora mugomo ndotsiga
mumusoro wangu ndodzoka
ndowacha mbatya dzenyu dzose
okay sisi Nyaradzo ko vari sei zvavo
gogo.
Ndakabata musoro wangu ndikati "
Tanaka chimbomira kuvhunza
zvagogo nekuti vari ryt zvavo asi
kutaura chokwadi am shocked
nemashoko ako. Ndiwe here Tanaka
wandanoziva wava kundisheedza
uchiti sisi Nyaradzo asi zita rangu
randaiziva uchindisheedza naro
nderekuti bitch ko handichasi hure
here nhai Tanaka.
*Tanaka*: Aiwaka sisi Nyaradzo
ndiregereiwo gonai kukanganwira
kani kuresva kuri muvanhu ko
hamunzwi tsitsi here imi makapenya
ganda kudai apa ini ndichitambura
muno mumusha honai kusviba
kwandaita nezuva iri ganda rangu
kukwasharara kunge kamwana
kengwena pliz forgive me my sister i
swear to God handichafi ndakaita
chinhu chinokugumburai sisi
Nyaradzo ndakaona kuti u are a
blessing from God.
Ndainge ndakatarisa kumeso
kwaTanaka achirova pasi zvose
nekunanzwa chikunwe chake
achibheja kuti handichazviiti futi
zvekuita godo nemi.
Tiri mubishi rekutaura naTanaka
ndakaona stepmother vangu
vachiuya neplate yakazara sadza
apa nemajuru padivi .Ndakaramba
ndakatarisa stepmother vangu
ndakasvika pakuvhunza kuti ko
majuru aya mafunga kudiiko nawo.
Step mother vangu
vakambosekerera zvavo vakazoti
hezvo " Nyaradzo zvadii hazvo ko
hauzivi here? kuti kudikitira ziya
kose uku ndanga ndiri mubishi
rekukubikira sadza zvose
nekukanga majuru aya.
Kutaura chokwadi ndakayerera
misodzi ndikati " Mwari ndiregerei
shuwa ndava kutadza nekusaziva
uye handaifanira kutsiva chivi
nekuti imi ndimi mune murango
wose .Hongu step mother vangu
vakaresva upenyu hwangu asi
ndinofanira kuva nemweya
wekuregerera nekuti mukadzi
atambura uyu.
Ndiri mubishi kupukuta misodzi
Tanaka akatutsira achiti sisi
Nyaradzo gezai maoko mudye
sadza nemajuru nekuti ndiyo nyama
yedu yatinodya kuno kumusha kana
tafunga kumbozorora kudya mowa
,muboora uye muriwo watakarima
mugadheni kumashandira pamwe
wekwaSimango idyai zvenyu sisi
Nyaradzo this is our special meal.
Ndakasimudza plate yemajuru
ndikanokora tsimba imwe chete
ndichipotsera mumukanwa mangu
aiwa majuru aibaya mumukanwa
nekuti yaiva mhando yemajuru aya
ane musoro mukuru zvekuti tsimba
imwe chete ndakaikonewa kuipedza
kudya.
Ndainge ndakagara pasi pemuti apa
stepmother vangu vaiva mubishi
rekuwacha mbatya dzangu
dzechikoro vachiita zvavo nyaya
neni vachivhunza kuti saka
Nyaradzo chikoro chiri kukunakidza
here?Shasha yakasimuka ikayanika
mbatya kupedza izvozvo ikatora aini
kuisa marasha kugara pasi kuaina
hembe dzangu kurongedza
musatchel .Kutaura chokwadi
ndainge ndakabata muromo wangu
ndichiti ichokwadi here ichi chandiri
kuona nhai Mwari saka stepmother
vangu vachinja hunhu here kana
kuti it's a trap.

Ndakaseka zvangu ndichiti upenyu


hwunochinja chokwadi usiku
hwacho ndakafunga kubatsira
stepmother vangu nekuvabikira
sadza asi vakati aiwa Nyaradzo siya
zvako kubata chinhu mwanangu
iwe ziva zvekutora chibani wopinda
muhozi yako uchiverenga mabhuku
chete zvekubika sadza regera
Tanaka achabika okuvigira sadza
rako imomo mumba mako
.Ndakambofunga kuti sadza iri
rinoda kuiswa mushonga chete
manje ini ndakangwarisa
handiurayiki zvekumhanya.
Ndakagara pamoto stepmother
vangu vachiita ngano isu
tichidavirira apa vomboimba nziyo
tichitamba zvedu naTanaka
.Ndakazoeneka ndichipinda mumba
mangu mekurara sezvo ndaida
kumbonyora manotes angu
echikoro munongozivawo kuti
kumusha hakuna magetsi saka aiva
ma1chaiwo.
Ndakanzwa Tanaka ava
kusheedzera achiti sisi Nyaradzo
ndauya nesadza renyu mukai
mudye.Ndakavhura maplates ndikati
"hezvo ko amai vadarirei kundipa
nyama yose saka imi muchasara
muchidyei uye huku iyi amai
vaiwana kupi nekuti ambuya
vakasiya varonzesa huku dzavo
dzose.
Tanaka akaseka zvake achiti" sisi
Nyaradzo zivai zvekudya chete imi
ndinozvipira kuita zvose ndichizama
kukufadzai.Amai. vandituma wani
kundotora huku pamba pamai
Simba asi tichasara tichiisakurira
bhuku iyoyo sezvo huku dzacho
dzichiitiswa maricho.Ndakanzwa
tsitsi shame ndichitora plate
yesadza ndichipinda nayo muhozi
mandada kurara.
Ndakagura musuva umwe chete
ndikarangarira mashoko amai vangu
ekuti mai Trishi vaiva bhururu
wangu chose asi vakandiuraya
nekuda kweruchiva uye godo
rekuda murume wangu anova baba
vako .Ndakadzungudza musoro
wangu ndikati " *No* handingadyi
sadza iri mhani ko kana raiswa
poison ndikafa
zvangu.Ndakadongorera panze
ndikaona stepmother vangu vari
mubishi kutswa mupunga wavaida
kuti ndiende nawo kuchikoro.

Ndakanyahwaira ndichibuda mumba


muya ndichaenda kubwaro kwairara
imbwa nezvikiti.Ndakasvika
ndichinhonga chikiti kuseri kwemba
ndichimhanya sezvo ndaitya kumira
pamakuva usiku fanika guva
raTrishi ndairitya zvekuti dhuu
nekuda kweutsinye hwaaiita
kwandiri .Ndakamhanya ndakabata
chikiti muruoko ndikasvika ndichiti
pfee mumba zvekuti ndakasara
ndichinzwa Tanaka achisheedzera
kuti sisi Nyaradzo muri kutizeiko
.Ndakatora gumbezi ndikafugidza
chikiti chiya ndikati aiwa Tanaka
suka zvako mandiro ako ndiri kubva
panze kundozvibatsira manje ini
ndinotya usiku inga unozviziva
wani.Takanaka akafamba
achidzokera panze sezvo aiva
mubishi rekusuka
maplates.Ndakagura musuva umwe
chete ndikatsvetera chikiti chiya kuti
chidye ende ndaiziva kuti chikafa
chete stepmother vangu vanenge
vanyangira yaona .Ndakasiya kiti
ichidya sadza apa ndiri mubishi
kutaura zvangu nemudiwa wangu
Nigel aidemba nhamo yake kwandiri
achiti" babe ndichapedza degree
rangu here? Nekuti dady vangu
havachanzwisisiki sezvo vava
nemazuva matatu vasingadzoki
pamba ufunge zvaki ndambofona
asi runhare rwavo rwadavirwa
nenzwi rechikadzi.Ndakanzwa tsitsi
apa ndichisimbisa umwe wangu
kuti kana pane zvinenge
zvaomesesa ndichazama
kukubatsira kusvika wapedza
degree rako reaccounts
kuU.Z.Ndakapedza kutaura naNigel
ndikati regai ndichimbotarisa kuti
chikiti yapedza kudya sadza
randapotsera here ndakasimudza
musoro wangu ndikaona akaka ko
kuti iya zvaya.......
*End of Chapter 21*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN the books*

*0718126818*
*Chapter 22*

Ndainge ndatovarairwa zvangu


ndichitaura nemudiwa wangu Nigel
pafoni .Ndakasimudza musoro
wangu ndichida kuona kuti kiti
yadya haina kufa here? Ndakaona
kiti yati kwavarara ndikati ehe saka
shasha dzainge dzarunga
mushonga muchikafu kuti ndife
ndakarova kiti isimuka ichitiza
kuenda kuseri kwegodhi.Kutaura
chokwadi ndakatya kudya chikafu
chastepmother vangu nekuti
handaiziva next evil plans yaiva
mufunga mumusoro mavo.

Ndakamuka makuseni ndichiona


kuti kiti yainge isina kufa
ndikadziisa sadza rangu
ndikadya.Ndakamba zvangu
ndichienda kana kwabamukuru
vangu mukoma wababa vangu
ndikasvika musharukwa ari
mubishi rekurodza mapadza kuti
asakure zvomene sezvo yaiva nguva
yekurima .Bamukuru vangu vaiva
munhu ane moyo muchena
semukaka nekuti pakafa vabereki
vangu havana kuva nemweya
wekudzvanyirira asi kuti vaitoenda
divi rangu vane shungu yekuti
ndidzidze nesimba.Bamukuru
vakanditambira nemufaro mukuru
chaizvo vachiti " hezvo kwakanaka
here nhai Chihera matitsika mutsipa
makuseni ano ande ndanga
ndichinzwa usimbe zvose
nekuverengera kuenda kumunda
kundofuga nyimo dzangu .Kushaya
munhukadzi pamba kwakaoma dai
maiguru vako varipo izvozvi
ndingadai ndichimbofunga kufuka
nyimo here nekuti mbuya
vaSarudzai vaiva mukadzi
akagwinya pane zvekurima uye
nyimo dzunonyanya kugonekwa
nevanhukadzi zvino Mwari
vakanditonga ndikasara
ndavatsvimborume pano apa
Sarudzai wacho anoswera
kumombe saka ndinoshaya chero
anosuka ndiro pano zvino kuti
ndichiroora umwe mukadzi
hazvichaiti vanhu vangasaseka here
kuti mudhara mukuru anodisa
zvinhu aiwa handicharoori ndava
kungovetseredza ndichimirira zuva
rangu kuti rikwane ko iwe Nyaradzo
ndakanzwazve kuti wakawana
nzvimbo yechikoro makorokoyozve
nhai vaChihera kana kusiya
mandiudza kuti munoda kupindira
chikoro padhuze nekumusha kwako.

Ndakamboseka zvangu nenyaya


dzemukoma wababa vangu dzaiuya
dzakaita hobho nguva imwe chete
zvekuti nsaishaiwa kuti ndopindura
nyaya ipi yacho.Ndakabvumirira
nemusoro ndichiti hongu baba
mukuru chikoro chanaka chaizvo
uye nzira kudzokera kuchikoro asi
nyaya uandavinga pano yakamira
yakadai ndafunga kuti stepmother
vangu vadzokere kukwekwe tigare
pamwe chete semhuri asi
kumabhizimusi ababa vangu
havasviki ikoko vachangogara
pamba semuchengetwa.Hongu
ndakatadzirwa chaizvo asi
handifaniri kutsiva chivi uye handidi
kuri baba vangu vandigumbukire
vari kwavari ndapota zvangu baba
bvumai kuti stepmother vangu
naTanaka wadzokera kukwekwe.
Ndakataura ndichipfugama pasi
chaipo kuti musharukwa uyu
asunungure moyo wake nekuti baba
mukuru vangu zvairatidza kuva
nechigumbu chikuru kumukadzi
wemuninina wavo anova step
mother vangu
Baba mukuru vangu vakandibata
ruoko vachiti aiwa simukai zvenyu
vaChihera kana iwe Nyaradzo
ukagumbuka nyika inondengendera
zvino handidi mashura iwawo pano
pamusha ini ndinotonga sezvazviri
.Ndinokubvumidza kuyora mai vako
moenda zvenyu mudhorobha
kundogara asi kana zvikashupa
zvekare iwe kwira bhazi udzoke
kuno nekuti iwe Nyaradzo unoziva
sgumo yekuti shiri ine muririro
wayo hairegi saka stepmother vako
vanogona kundotanga mashiripiti
avo mudhorobha ikoko
ukazotambudzika zveupenyu hwose
remember kuti iwe munenge usiro
kumba nguva dzose sezvo wafunga
kuita zvefundo asi maropafadzo ako
rega ndikupe zvangu utore mai vako
muende kudhorobha.

Bamukuru vangu vakanwira mvura


vakati Nyaradzo tasanudza maoko
ako.Musharukwa akambonyarara
achitaura zevezeve kusvika
vasvipira mvura pamaoko angu
ndakaita ekutwasanudza vakati
simuka zvako Nyaradzo uende
ndagopedza newe.

Ndakavhura chikwana changu


ndikabudisa mari inoita $20
ndikatambidza Bamukuru vangu
.Musharukwa akafara zvikuru
vakatutsira nekubata mari iya
vachideketera nechirudzi kuti
ngaiwedzerwe kupfuura yandainge
ndavatambidza.

Ndakaeneka Bamukuru vangu


ndichaenda kumba. Ndakasvika
step mother vangu vagadzirira
mbuva yandaifamba ndichidya
zvose nekumirira kuti
vandiperekedze
kuchiteshi.Ndakasheedza
stepmother vangu mumba ndikati
amai ndafunga kuenda nemi
kudhorobha mose naTanaka nekuti
ndakakuregererai asi hameno
zvenyu kana mukafunga kutsiva
moyo muchena wangu neruvengo
zvinenge zvava kwamuri asi
rangarirai kuti kudenga kuna Mwari
anogona kusandura ruvengo kuva
rudo uye anokwwnisa futi
kusandura rugare kuva nhamo saka
rongedzai mabag enyu tiende
kukwekwe .

Stepmother vangu vakagara chaizvo


vachienda panze.Ndakanzwa
shasha yaiva kuti hongu Nyaradzo
wandinzwisisa zvako ko bamukuru
vakanzwa kuti ndadzokera
kukwekwe havazonditeveri here
vachindidzinga pamba pemuninia
wavo.

Ndakafamba ndichibata stepmother


vangu bendekete ndikati aiwa amai
ndabva kumba kwemukoma wababa
vangu kundotaura naye izvozvi uye
vabvuma kuti tiende zvedu
kukwekwe kundogara semhuri imwe
chete uye Tanaka anofanira
kudzidza paMushana boarding
school ndichiona any movement
yake ende kana akaita zvevarume I
swear to God ndinomugura gumbo
akasara ari chirema tione kuti ndiani
mukomana achazokuda waremara
kudaro.
.

Takaenderana zvedu kuseka


stepmother vangu vari mubishi
kurongedza mabag avo tikapinda
panzira takananga kukwekwe sezvo
zuva iri raiva reMugovera saka
svondo yacho ndaifanira kudzokera
kuchikoro.
Takasvika mbuya vedu
vakavarairwa ende mbuya vangu
havana kuratidza kufara nekutora
stepmother vangu kuti vazogara
kukwekwe. Ndakabuda panze
nambuya vangu ndikutaura navo
ndichikumbira kuti stepmother
vangu vagare sezvo
ndakavaregerera.Ndakatora
briefcase rangu ndikaviga mumba
mangu mandairara ende ndaiva
nemweya wekutora briefcase
kuenda naro kuchikoro. Zuva
reMugovera manheru ndakakanzwa
ruzha mumba munhu achiridza
mhere ndakamhanya ndichisvika
ndakawana stepmother vangu
vakabata chimushonga
vachideketera hameno zvavaitaura
mumba imomo mavainge vakagara.

Ndakadzungudza musoro wangu


ndikati hezvo mashoko nabamukuru
vangu abuda pachena ndisina
kwandaenda nemi inga ndinoda
kukuchengetai wani ko chanetsa
chii.Stepmother vangu vakatanga
kukwenya muviri wavo whose
vachiti Nyaradzo sorry zvako rega
ndirondedzere zvose zvandakaita
ndichiuraya bhururu wangu Alice
anova mai vako zakakonzeresa kuti
ndizokuvenga kusvika pastage
yekufunga kupfuudza mweya wako
let me confesse.Ndakagara
pamubhedha chaipo ndakabata
rushaya rwangu ndichida kunzwa
zvose zvakaitika kuti stepmother
vangu vazouraya mai vangu. Mbuya
vangu vainge zvagara pakona
yemubhedha vachirova maoko avo
vachiti Nyaradzo handina kukudza
here kuti mai Trish muroyi chiona
manje ndakatarisa mbuya vangu
kumeso ndikati " gogo chimvomirai
kutaura tinzwe mauraiyire avakaita
mai vangu munhu asina kubvira
avaitira chitema.
*End of Chapter 22*

*QUEEN loves u all stay blessed*


*NYARADZOShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*

*0718126818*
*Chapter 19*

Ndakasimudza mabag angu


takananga kubhazi kuti tiende zvedu
kwekwe kumba kwedu kwandaigara
nevabereki vangu mazuva
andaioneswa nhamo tsvuku inenge
ten yekare.Ndakacheuka kumashure
ndikaona stepmother vangu
vachisvimha misodzi kunge mwana
mudiki apa Tanaka achichemawo
akabatira mai vake
muchiuno.Ndakadzungudza musoro
wangu ndikati " zvino Tanaka
achasara achigona kutsiga bucket
remvura mumusoro here ?sezvo ini
mushandi wake ndaenda kudai gore
rino vanhu vemuno muraini
vachaonera makuna kuna.
Ndakagara nambuya vangu mazuva
matatu tiri kukwekwe ndichimirira
kuti rufu rwamai vaNigel rwupere
nekuti hazvaizoita kuvhunze mari
Nigel ari padambudziko.Rimwe zuva
ndakaona foni yangu ichirira
ndakatanga ndasekerera ndichiona
yakanzi Nigel my love. Mwana
akatanga kumbochema akazoti
Nyaradzo ndakanzwa neshamwari
yangu Arnold achiti wafona sorry
zvako babe i was shocked
pandakaudzwa nadoctor kuti mai
vangu vashaika ufunge zvako
handina kunge ndakazvitarisira
nekuti mai vangu havana kubvira
varwara asi kuti shuga yavo
yakanyanya kukwira usiku vakarara
tikaenda navo kuchipatara
vachidikitira ziya mushure mekunge
makumbo avo atanga kuzvimba
hatina kuzosvika kuchipatara zvako
Nyaradzo muchembere wangu ainge
atoshaika.

*Me* : Shame sorry zvako chido


chemoyo wangu ende
ndakarwadziwa ufunge
pandakanzwa shoko rerufu saka
vakachengetwa here ? mhamha uye
Yvone ari kupi kutaura kudai.

*Nigel*: Yes, mhamha


vakachengetwa zvakanaka zvavo
.Yvone wauri kuvhunza babe haasi
kukwanisa chero kufamba
achingochema chero kuchikoro
chaiko haasi kuenda zvekuti
ndinoda kuita zvekumumanikidza
chaiko.
*Me* : Eish, zvakaoma zveupenyu
babe try kuzvikanganwa nekuti
ungaita stress my love .Nigel waita
basa wafona nekuti ndaida
kukuudza kuti ndakawana nzvimbo
yechikoro paMushana boarding
school saka ndinoda mari zvese
nebag riya feel free kundipa zvako
nekuti rava safe manje sezvo ndava
kugara pamba nambuya vangu uye
stepmother vangu vakasara
kumusha ndiko kwavava kugara
sezvo vakuru vakatonga mashoko
vachiti" mai Trish kana vafunga
kudzokera kudhorobha vanotanga
vavaka imba yavo zvichibvira
pautsinye hwavakaita
kusandiendesa kuchikoro
vachiendesa vana vavo vega.

Nigel akandivimbisa achiti ,okay


babe no problem ndinosvika pamba
penyu izvozvi ndichikupa bag rako
.Ko uri kuenda kuchikoro kwacho
rinhi ndikuperekedze nemota yangu
ndichibvisa zvangu stress.

Nenguva isipi Nigel akasvika


nemota yake tsvuku
.Ndakatandurira chido chemoyo
wangu ndichipa nyemwerera
yasvika kugotsi semunhu ainge
aona umwe wake. Nigel achindiona
akasvika pakukundikana akatanga
kuchema zvakarwadza moyo wangu
tikachema tose takadzambira
pamoto.Zuva iri ndakaona kuti Nigel
aida mai vake zvakanyanyisa ende
ndakaona kuti mwana uyu abaiwa
panyama nhete chaipo.

Ndakatambidzwa bag rangu


ndikapinda mumba apa mbuya
vangu vaiva mubishi rekunyaradza
Nigel aichema mai vake akamira
pamota.
Makuseni ndakamukira pamba
pamai vaPetty ndichida kuvaeneka
kuti ndava kuenda kuchikoro
paMushana kuboarding school .Mai
vaPetty vakaratidza kufara chaizvo
vachibata maoko angu vachiti"
Nyaradzo ndinoda kuti uite
musikana kwaye kwete kundoita
misikanzwa nekuti vana vazhinji
vanochinjwa hunhu hwavo nekufara
kuboarding sezvo zvikoro zvakaita
semaboarding school zvichipa vana
freedom asi iwe Nyaradzo rangarira
kwawakabva neupenyu hako uye
kutambudzika kose
kwawakaita.Ndakasekerera
ndichibata mai vaPetty bendekete
ndichiti "thank u very much mother
nerairo yenyu and i promise to be a
good girl uye ndinoda kuverenga
mabhuku ndizova mukoti
achabataira munhu zvekuti no more
sick again.Munhu wese
akaenderana kuseka ndichipinda
zvangu mumota yaishandiswa
naTrish kudhara apa ndaida kuende
zvangu nayo kuchikoro.
Ndiri mubishi kurongedzera mabag
angu mumota kuti ndiende
kuchikoro ndakaona mota yaNigel
yasvika pamba pedu apa ndainge
ndaizvipira kuenda zvangu ndega
sezvo kudriver ndainge ndava
kugona kubva zvandakadzidzira
mota ndichigara pamba pamai
vaPetty.
Nigel akaburuka mumota yake akati"
my love hautembi neni chokwadi
saka Nyaradzo kana wakanditarisa
unoona kunge ndiri kunyepa kuti
uchava mai vevana vangu handiti
okay, mai Machaka dzoserai zvenyu
mota mugarage mugare pamumvuri
ini ndichibuda ziya rekushandira
iwe mudzimai wangu ndichisimudza
mabag ose ari mumota iyi ndichiisa
mumota yangu kuti ndikuperekedzei
mai Machaka kuchikoro asi kana
wava kuchikoro ikoko Nyaradzo
unofanira kuziva kuti kune umwe
munhu asingarari hope dzinobata
because of u, Nyaradzo kana
ukapfimbiwa kuchikoro ikoko
ndinoisa munhu demo pamutsipa
ndikaita ngozi i swear to God
.Mbuya vangu vakabata muromo
wavo vachikuvara zvavo nekuseka
vakazotutsira vachiti taura zvako
muzukuru wangu Najeru apa waita
kunonzi kusundira mombe
mumunda uzere chibage it's
obvious dzinodya mumunda zve .

Nigel akambomira kutsiga mabag


akati" uri kunzwa shona yambuya
here ?Nyaradzo ufunge babe
ndabva ndapera simba remember
kuti gogo munhu mukuru mashoko
avo haawiri pasi zviri kunzi iwe
Nyaradzo unogona kundotorwa
nevamwe vakomana ikoko
kuMushana kure kure kwawazoda
kundodzidza ndabva ndaita jealous
ufunge .Tose takaenderana zvedu
kuseka ndikafamba nharu nhatu
ndichibata ruoko rwaNigel ndikati "
*i never ever leave u my love its a
promise i really love u Nigel* .
*End of chapter 19*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYRADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*

*Aka QUEEN of the books*


*Chapter 23*

Zvino munhu wose ainge aisa nzeve


dzake kuna mai vaTrishi
vachirondedzera kuuraya
kwavakaita mai vangu.Shasha
yakatanga kuchema ichiti "ndapota
zvangu Nyaradzo ndiregerere uye
ndinoda kurondedzera
pandakatangira kuitira bhururu
wangu godo anova mai vako.

Zvakatanga tiri kuchikoro Alice


achidanana naFreddy anova baba
vako .Freddy aiva classmate yangu
tichipinda muclass imwe chete uye
tichiwirirana zvakanyanya kusvika
pakuudzana masecret ose manje
Freddy akazoti Beatrice ndinoda
shamwari yako inonzi Alice uye
ndinoda kutomuroora chaiko
.Ndakaseka nhema zviya
zvekunzwa shanje ndichiti"
nhai,Freddy wafunga kuroora Alice
nemhaka yei ko muno muclass
medu hapana umwe musikana here
akanaka kupfuura Alice?

Freddy akaramba akasimbirira


nyaya yake achiti Beatrice ndafunga
kuroora Alice kusvika
ndangosiyawo vaviri ava
vakadanana zvavo asi Kutaura
chokwadi ndainzwa kuti moyo
wangu waida nezvaFreddy chaizvo
saka nguva yose ndaifunga kuti
achandisvitsa shoko asi ndakaona
kuti Freddy ainge achingotaura
nyaya yaAlice chero pese patainge
tigere.Alice aiti akatengerwa foni
kana kupiwa surprise chinhu
chekutanga aimhanya muclass
yangu osvika achiputika nemufaro
achindiratidza masurprises anenge
atengwa naFreddy kubva ipapo
ndakatanga kuita gogo
zvakanyanyisa nekuti Freddy
haaifanira kuona munhu ari kune
imwe class achisiya ini ndaigara
naye pabhenji rimwe chete.

Alice akasvika pakudanana


naFreddy vakaenda vose
kundoratidzana hama izvi zviri
mumaziso angu and i became
jealous nekuti moyo wangu waida
Freddy zvakanyanyisa. Zvino vaviri
ava vakaramba vachidanana
chaizvo rimwe zuva ndikaita zvivindi
zvekubudira Freddy pachena
ndichimuudza kuti iwe Freddy
unovenganisa vanhu sei wasarudza
kuroora bhururu wangu asi ini
ndichidzidza newe muclass imwe
chete saka uri kureva here? kuti
Alice akanaka kundipfuura ?Freddy
haana kupindura mashoko
akawanda asi akati"iwe Beatrice
don't worry ndinoda kukupinza
machena sezvo bhururu wangu
Stanford achikuda iye anotoda
zvekukuroora chaiko .Ndakazotanga
kudanana naStanford ndikaita
nhumbu zvakazoparira kuti nditizire
kumba kwaStan asi handina
kugutsikana nekuti Stan ainge
asingashandi sezvo akapedza
chikoro akashaya basa. Ndakasvika
kumba mwana Stan
ndichizobatsirwa mwana wangu
Trish anova dangwe rangu
akazoshaika uyu.Zvino Alice
akaenderera mberi nechikoro
kusvika aroorana naFreddy
vakachata uye ndini ndakaita best
girl pamuchato waAlice sezvo
ubhururu hwedu hwusina
kupera.Zvino ndakanyanya kuita
godo ndichiona bhururu wangu
achipinda mumambure ndakatarisa
ndikaona sekuti Alice ainge
achindidadira chaizvo uye mazuva
acho iwayo ainge achiri nurse zvake
sezvo akazoramba achinyorera
akaizota Doctor vatoroorana
naFreddy zvino kubva ipapo
ndainge ndichinzwa kugarwa
nebundu pamoyo pangu kuti Alice
aisafanira kutora mukomana
wandaidzidza naye uye Freddy aiva
best friend yangu ko iye Alice
wacho kunaka pachiso here?
kusvika pakuonekwa ini ndichiita
kunge munhu akazorwa tsvina
yembwa.
Zvino godo rakaramba richindinetsa
ndikasvika pakuudza mai vangu
mashoko ainetsa moyo wangu
.Ndakaudza mai vangu kuti murume
akaroora Alice aifanira kuva
murume wangu .Zvino rimwe zuva
mai vangu vachiri vapenyu
vakaenda neni kun'anga iri
kuChisuma ende nzvimbo iyi yaiva
kure kwazvo sezvo takapinda
musango kumberi kweChipinge.
Ndakasvika ndichiudziwa nen'anga
iyi kuti munhu waunoda kuuraya
uyu ari muhari asi haukwanisi
kumuuraya izvozvi kana
akazvitakura sezvo akasenga chipo
chakakosha chirimudumbu make
iwe dzokera kumba wochengeta
charm iyi .Ndakapiwa charm
ndikaichengetera muhari
ikazoshanda zuva rakazvarwa
*NYARADZO* zuva iri
ndakashamisika murume
wandaigara naye achipupuma furo
rine ropa mumukanwa achifira
ipapo.

Ndakafunga kudzokera kun'anga


yangu iya but my surprise n'anga
yakasvika ichindidza kuti murume
wako ndiye ashanda pasacrife
pabasa rabatwa nasekuru rekuuraya
munhu ainge akakutora mugaro
wako zvino iwe Beatrice mwanangu
tora charm iyi woenda nayo
wondotaura zvose zvaunoda kuti
Freddy ave murume wako asi
usakanganwa kuti vana vako
hapana achaita imba kusvika
murufu as long iwe wakagarika
zvako.

Ndakabata muromo wangu


ndichishamisika kusvika
pakusimuka padhuze nastep mother
vangu ndichindomira kwakadaro
sezvo ndakaona kuti mushonga uyu
wavainge vakabata yaiva dangerous
charm chaiyo zvekuti yaigona
kuuraya munhu wose mumba
imomo nekuti chinhu ichi
chairatidza kuti chinhu chiri chiri
kufema kunge munhu.
Munhu wese ainge amira akatarisa
stepmother vangu vachitaura vasina
kana nyadzi apa kunze kwainge
kwava kutanga kuedza.Ndakaita
kuvhunduka ndichinzwa mudhumo
wemota panze.Ndakamhanya
ndichidongorera nepahwindo sezvo
pfungwa dzangu dzakamhanyira
kufunga kuti anenge Nigel chete
asvika pano ko ainge anzwa nani
kuti ndiri muno mukwekwe regai
ndibude panze ndione.
Ndiri mubishi kufunga zvakawanda
ndakanzwa musuwo uchirohwa
zvekuti ndakambodzokera
kumashure ndichitya kuvhura sezvo
noku yacho yaita kunge yematsotsi
.Ndakaramba ndakati kwavarara
zvino ndichihuta zvose nekubaya
foni yangu. Ndichida kufonera Nigel.
Ndakazonzwa kuti hey vhurai door
mumba umo tisu mapurisa.
Ndakatura befu ndichibata hana
yangu. ndikafamba ndichienda
kundovhura musuwo wanei panze
pane vakomana vatatu vairohwa
zvebasa uye umwe wacho aibuda
ropa mumukanwa zvekurevesa.
Ndikafamba ndichibuda mumba
ndakatarisa vakomana vaya vainge
vakagadzikwa pasi apa vachirohwa
neseri kwepfuti vachinzi taurai
mhani vapfana imi ndiani ko munhu
akakutumai kuuraya musikana
anonzi Anesu kasirai kutaura apo
tisati takuzvambaradzai mukafira
pano mhondi dzevanhu majaira
kuuraya vanhu sehuku muno
mukwekwe.
Umwe mupurisa wechidiki aipopota
kani apa vamwe mai vachichema
vakamira pamota zvose nekupukuta
maziso avo vachiti Anesu
mwanangu wakafira nhamo ndaitiwo
ndayarusa wava padhuze
nekundichengeta zvino akaipa atora
mweya wako.

Ndikafamba ndichida kunyararidza


mai vaya sezvo ndakaziva kuti
nyaya iri pano ndeyemusikana uya
aiva student nurse paWalter private
hospital akapfurwa nepfuti mushure
mekunge vakomana ava vaita
mistake yekupfura munhu asiye.
Ndakatarisisa vakomana vaya
ndikati" iwe ndakuziva ndiwe
munhu vakandibata ndichibva
kuchikoro mukandipotsera mumota
yenyu ndisina chandakutadzirai
umwe wevakomana vaya
akasimudza musoro wake akati" yes
, haunyepi zvako musikana zvese
zvataiita izvozvo taitumwa namai
vepano ndivo vaitituma kuuraya
vanhu asi iwe takakutadza uye
takazoita mistake yekuuraya munhu
asiriye.Mapurisa akashamisika
achidzungudza musoro akati" ini
ndinonzi C.I.D Marozva tinodawo
mukadzi anonzi Beatrice ari
kupomerwa nyaya yekutuma
machinda matatu aya kuzouraya
musikana anonzi Anesu. Kana
Beatrice achirambirana nazvo
hazvinei asi tiri kuenda naye
anozoramba zvake akamira mucourt
fambai zvenyu amai mupinde
mumota tiende .
Ndakatarisa step mother vangu
vachipotsera kamushonga kavo
pasi kuti chisare pamba pedu
.Ndakamhanya mumba ndikanokora
munyu ndikatora bepa ndikapfeka
muruoko ndikasvika nekunhonga
chimushonga chiya ndichipotsera
pamakumbo astepmother vangu
sezvo kechemu dzainge dzachena
kumakumbo nekumaoko.Takasara
takamira mota yemapurisa
payakafamba ichienda kugedhe
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati" eish mubairo wezvivi
rufu.Tanaka achiona mai vake
vachienda nemota yemapurisa
akamhanya vachitevera kumashure
apa achiridza mhere kunge munhu
afirwa.Nda katarisana nambuya
vangu tikashaya neremuromo rose
asi takakwanisa kufamba
tichidzokera mumba apa munhu
wese airatidza kushamisika iwo
manext door ndiwo aingoseka
akamira pafence achiti" chisingaperi
chinoshura aiva madziva ava
mazambuko.
*End of Chapter 23*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortStoryWritten by
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 25*

Ndakafara zvekusvika pakusvimha


misodzi yemufaro ndichinzwa kuti
Nigel ainge awana basa ari
manager muAgri Bank.Chinhu
chakanyanya kundifadza ndechekuti
Nigel ainge atambudzika chaizvo
kuti apedzise degree rake.Nigel
akaramba achitaura neni pafoni asi
ndainge ndanyarara sezvo misodzi
yemufaro yaiti mokoto mokoto
nematama and i can't stop crying.
Nigel akasimudzira Kutaura achiti"
my love ko chii futi asi wakuchema
here *NYARADZO* ko watanga futi
tsika yako yekuchema here? how
many time ndichikuudza kuti stop
crying uye handidi kukuona
uchichema.
Ndakasekerera nhema ndichiti am
so sorry my love ndanyanya
kufarisa chaizvo nekubata
kwaMwari uye mablessings ose
andakapiwa nababa vangu zuva
ravakashaika ava kuratidza pachena
nekuti Mwari vari kuita zvishamiso
zvavo muupenyu hwangu.
Nigel akaseka zvake achiti it's okay,
baby girl it's better for u to stop
crying now ndisati ndasvika
kuchikoro ikoko ndikakonzeresa
sezvo ndisingadi kuona NYARADZO
wangu achidonhedza misodzi .
Mazuva ose ndaienda zvangu
kuchipatara kundoona Lolita
semunhu aimbova room mate yangu
.Lolita akatanga kunzwa zvakanaka
muviri zvino akazopiwa saga rake
remapiritsi maARV achinzi
unofanira kuenda nawo kumba.
ndakatarisa divi Ndikamboda
zvangu kuseka ndichiona shasha
ichitambidzwa futi imwe mhando
yemapiritsi .
Ndakabata muromo wangu ndikati
",shame ende Lolita aita munyama
chokwadi kutangawo nekurarama
nemapiritsi munhu asati amboenda
mumba kundoita muroora saka
Lolita uyu zvaava kurwara neAids
kudai achakwanisa here kuroorwa
akaitawo mwana.Ndaingonetseka
zvangu nekufunga ndega
ndichipinda mutax naLolita
ndakamubata ruoko takananga
kuchikoro apa shamwari dzake kana
kubvira dzauya kuchipatara
kuzomuona zvachose.

Ndaiseka zvangu ndichiona Lolita


akapfeka long skirt yaisvika
kutsoka chaiko apa nebible rake
muruoko zvose nedhuku
mumusoro.Rimwe zuva
ndakapepuka pakati peusiku
ndichinzwa kutaura nezeve zeve
mumba wanei hezvo,ko zvaari Lolita
ari mubishi zvake kunamata apa
achibuda nemisodzi chaiyo aiwa
mwana wevanhu ainge ava kuziva
Mwari iyeye .Ndakatanga kuwirirana
naLolita chaizvo sezvo ainge ava
kufarira kuenda kuchechi nguva
yake zvhinji.
Ndakapedza kunyora form six yangu
tikaenekana naLolita sezvo ainge
akadzokorora form four semunhu
akamborwara nguva refu.Zuva
randakaparadzana naLolita achisara
pachikoro akachema zviya
zvekuratidza kuti arwadziwa moyo
wake tichiparadzana.Ndakapa Lolita
number dzangu ndikati" kana
uchida unozouya zvako kukwekwe
kuzondiona ushamwari hwedu hausi
kuzopera nekuti
taparadzana.Ndakasiya Lolita
achipukuta misodzi yaitevedza
matama ake apa akabata bible
muruoko neskirt yakareba zviya
zvekuratidza kuti ainge ava born
again pachokwadi.

Ndakarwadziwa moyo wangu


ndichifuratira Lolita ndichipinda
mumota yaNigel zvose nemabag
angu ndakananga kukwekwe.

Takafamba nemudiwa wangu Nigel


tichiseka zvedu sezvo Nigel aiva
mubishi rekundivhunza kuti mune
chokwadi chekuti munopasa here ?
nhai,mai Machaka zvekuti
muchanderera mberi nechikoro
sezvo *NYARADZO* ndafunga
zvangu kukuroora.Ndakamboramba
ndakatarisa Nigel kumeso kwake
ndikazoti hezvo ko unoda
kundiroora ndisati ndaenda
Kuuniversity nekuti zvadii? Nigel
akamboseka zvake achimisa mota
yake padivi penzira apa taiva pakati
kati pesango .Ndakaona Nigel ava
kuburuka mumota yake achiti"
Nyaradzo ndafunga kuti uzoenda
Kuuniversity wava mudzimai wangu
uye ndaona kuti simbi inorohwa
ichapisa kana ndikaita
zvekuverengera ndinogona
kuzviruza .
Nigel akataura zvake achibuda
mumota yake akasvika achipfugama
padhuze netsoka dzangu apa
akanditarisa mumboni yemaziso
chaimo achiti "Nyaradzo *WILL U
MARRY ME* Ndakamboramba
ndakatarisa kumeso kwaNigel
ndikazoti why not yes,babe i wil
marry u.
Tiri munzira kuenda kukwekwe
ndainge ndava nemufaro wega
ndichiyeverwa zvangu negold ring
yainge yava muruoko rwangu. Nigel
aipota achitaura nyaya neni asi
ndaizoita zvekuvhunduka nekuti
pfungwa dzangu dzainge dzava kuti
dai ndachisvika kumba ndaratidza
gogo vangu engagement ring
yainge yakanaka zvekuti
ndakanyara chero kuvhunza Nigel
kuti ainge aitenga kupi uye marii.
*End of Chapter 25*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZOShortstoryWritten by
SHYLEEN*
*AKa QUEEN of the books*

*0718126818*
*chapter 26*
Ndainzwa manyuku nyuku ndiri
mumota ndichiona ring muruoko
rwangu zvekuti ndainge ndisisina
chero nyaya naNigel apa ndaiva
mubishi kuyevererwa neruoko
rwangu.Nigel ainditarisa
achidzungudza musoro wake
achiseka zvake .Ndakazonzwa
shasha yavakuti chitsva chiri
murutsoka chokwadi asi chemudiwa
wangu Nyaradzo nhasi chiri
muruoko nekuti ndiri kuona mufaro
mumaziso ako mwanasikana
.Ndakaseka zvangu ndichikanda
kasmile kerudo ndakatarisa kumeso
kwaNigel.
Ndakasvika kumba kwedu ndichiita
kutadza nekutaura
nemufaro.Ndakaburuka mumota
ndichipinda mumba mainge
makagara Gogo vangu ndichisvika
nekupfugama ndichiti ambuya
guess what .
.Mbuya vangu vakambobvisa
maboni boni avo kumeso vakazoti
Nyaradzo ndiri kuona kuti nhasi
wakafarisa it's okay let me
guess.Mbuya vangu vakamboramba
vakanyarara vakazosimudzira
vachiti "Nyaradzo wakafarisa
nechikonzero chekuti wapasa form
6 yako uye uri kuda kuenderera
mberi nechikoro ko chimwe
chaungafarira chii .Ndakubata
kudhara chienda undochinja mbatya
dzako utore chikafu chako
mukitchen udye. Ndakaseka zvangu
ndikati nzveee sazita vangu madzva
regai ndikuratidzei pane mufaro
wangu.Ndakasimudza chikunwe
changu ndichiratidza mbuya vangu
ring .Ndakaona kuti gogo vangu
vainge vasina kuona kuti ndasvika
pamba nemota yaNigel shasha
yakadongorera nepahwindo .Mbuya
vangu vakanditarisa vakati waaal
waonaka muzukuru zvandinogara
ndichikuudza zviya kuti mukomana
wako munhu kwaye uye
anokuroora haambokurasisi eish
ende matengerwa ring yakanaka
vaChihera saka muchato wanzi
uriko rinhiko ndanonokerwa
nekukuona wakapfeka rokwe Jena.

Aiwa mbuya vangu munotaurisa


endebzvakaoma apa Nigel aikuvara
zvake nekuseka akazembera mota
yake.Takadanana naNigel wangu
tichienda kuout kwataindoswera
zvedu tiri murudo.Nigel aigara
achitaura kuti baba vake vaisauya
pamba nguva yavo zhinji saka
aizoda kumhanyira kumba
kundobikira Yvone sezvo pamba
pavo painge pasisina musikana
webasa.Ndakanzwa tsitsi shame
Nigel achidemba nyaya yekushaya
mai kuti yairwadza sei.

Rimwe zuva iri weekend Lolita


akafona achiti Nyaradzo ndiri
munzira kuuya kukwekwe saka
undigarire .Ndakapinda mumota
yangu ndikaenda kundotora Lolita
apa ndaiva nabhururu wangu
wepedo anova Petty sezvo ainge
apedza chikoro atomirira maresults
ake kuti akwanise kuwana nzvimbo
kuUniversty.

Ndakatora Lolita kutown kwaainge


aburukira bhazi ndikaenda naye
kumba kwedu.Ndakaseka zvangu
ndichiti ende Lolita hauchinje
shuwa kupfeka kwako ndikoko uye
bible rako hautsveti pasi.Lolita
akaseka zvake achiti Nyaradzo
ndakarwara kusvika pakudongorera
denga saka ndingakoshiwa Mwari
akaita kuti ndipone here ?aiwa
handidaro Mwari akandinakira
ufunge.

Ndakaenda kumba nemabhururu


angu apa ndini ndaiva ndiri driver
wavo tichitaura zvedu nyaya zvose
nekuseka.Ndakasvika pamba
ndichiridza bhera remota sezvo
ndaiona Tanaka achichema akagara
kunze kwegedhe ndakaburuka
mumota yangu ndikati hezvo ko
kwakanaka here? vasikana
kuzochema makagara panze kudai
pinda mumba tinzwe nyaya yako
manje ukachema wakagara kunze
kwegedhe manext door anozofungei
nhai Tanaka.
Ndakaona Tanaka ava kuwedzeresa
kuchema achiti"sisi Nyaradzo ndiri
kubva kucourt mai vangu vatongwa
15 years nekuda kwemurder uye
vawedzerwa mamwe makore sezvo
vakomana vavaituma kuita mabasa
akaipa vataura zvinhu zvakawanda
mushure mekunge varohwa
nemapurisa .Ndakashamisika
ndikati shame sorry zvako Tanaka
zvinowanikwa muupenyu asi
unofanira kuzvigamuchira uye ini
pachangu ndakakuregerera zvose
zvawakatadza saka ndinokuvimbisa
kukuchengeta kusvika waroorwa .

Takaronga zvemuchato wedu


naNigel uye nezuva racho rataifanira
kuchata.Ndakatora mari yangu
ndikatengera mai nababa vaPetty
masutu aidhura zvekuti vainge
vakachena zvinodadisa .

Ndiri mubishi kufamba mudhorobha


naNigel tichitenga chikafu
chepamuchato ndakaona vanhu
vainge vakaungana .Moyo wangu
wakaramba kudarika chokwadi
ndikakonesa mota ndichida kuona
kuti ndiani munhu
airohwa.Ndakashamisika ndichiona
ari murume wava madhuve
vandakamboshandira basa rehouse
girl apa murume uyu airohwa
nemunhu wese zvaipisa tsitsi
achinzi atora mafuta ekubikisa
mushop akaviga pakati pemakumba.

Ndakaburuka mumota
ndichimhanya zvekuti Nigel
akashaiwa kuti chii chaitora
nzvimbo .Ndakasvika ndichibata
vanhu vairova murume wava
madhuve ndikati" stop it why
muchirova munhu kudai nekuda
kwe2 litres yemafuta hamusi kuona
kuti munhu anofa here it's okay
ndiudzei kuti imarii mafuta acho
ndikupei kana mafunga kuramba
muchirova baba vangu saka
chirovai ini right.
Ndakabudisa mari inoita $5
ndikatambidza muguard uya
aibatsirwa nevanhu kurova murume
wavamadhuve .Ndakasheedza Nigel
tikatora baba vaya takananga navo
kuWalter private hospital.

Murume wavaMadhuve akapepuka


ava muchipatara apa akaita kuti
rabada kurara sezvo ainge arohwa
zvakanyanyisa.Vamadhuve vakauya
muchipatara vachimanya vakasvika
nekunditenda asi ndakaona kuti
vainge vasina kuona kuti ndini
Nyaradzo aimbova musikana wavo
webasa vakandidzinga mushure
mekunge ndapomerwa mhosva
yandisingazivi yekuti ndaida kurara
nemurume wavo.
Mbuya vangu vakafona vachiti
Nyaradza uri kupi kubva kuseni
nekuti wabva pamba uchiti iwe uri
kuenda kundotenga chikafu
chepamuchato now ndatova worried
nekuda kwako remember u are only
i have saka kasira kuenda kumba
kunze kusati kwasviba .
Ndakaseka zvangu ndikati ambuya
am not a kid plus Nigel aripano uye
anondichengeta okay ndiri
kuchipatara now kuWalter private
hospital ndaenda nemurwere
wandanhonga mutown achirohwa
nevanhu its a long story totaura
ndauya kumba.Mbuya vangu
vakamboramba vakanyarara
vakazoti Nyaradzo uri kunyepa
ndiudze kuti uri muward ipi yacho
ndisvike pauri izvozvi sezvo ndiri
muchipatara mandiri kutora death
record yababa vako.Ndakaraira
mbuya vangu kamuri yatainge
yakagara tichiona murwere
.Ndakaseka zvangu ndichiona
chembere ichipinda apa nehabdbag
muruoko ndakasimuka ndichibata
mbuya vangu ruoko ndikati hezvo
maonaka ambuya kuti handinyepi .
Mbuya vangu vakaramba vakatarisa
murume wavaMadhuve
ndikazonzwa voti Godfrey .Munhu
wese akashamisika nekuti vanhu
ava vainge vazivana ndakasimuka
ndikati" so u know each other
.Mbuya vangu vakasimudzira
vachiti"yes, Nyaradza Godfrey uyu
ndisekuru vako hanzvadzi yaAlice
chaiyo ko sekuru vako varohwa
naniko uye mazivana sei nekuti
Godfrey uyu takaguma kuonana
zuva remuchato wamai vako .
*End of Chapter 26*
*QUEEN loves u all stay blessed*
*NYARADZO shortStoryWritten by
SHYLEEN*

*Aka QUEEN of the books*


*0718126818*
*Final Chapter 27*

Mbuya vangu vakaramba


vakataririsisa murume
wandaishandirwa.Ndakazonzwa
mbuya vangu vachiti" Nyaradzo ava
ndivo sekuru vako vanodaidzwa
nezita rekuti Godfrey
.Ndakamboramba ndakanyarara
ndichishaya kuti mbuya vangu vaida
kuzama kureva kuti kudii .Vanhu
vose vakatarisana vachiti"
ichokwadi here" ichi.Mbuya
madhuve vakanditarisa kumeso
kwangu vakati chimbomira kutaura
mashoko akawandisa saka uri
kureva here ?kuti ndiwe Nyaradzo
musikana akambondishandira 5
years ago.

Ndakabvumira nemusoro wangu


ndikati ",yes,its me inga ndakuzivai
wani ambuya muchipinda muno asi
ndazviona zvangu kuti imi
mandirasika.

Mbuya madhuve vakatanga


kuyerera misodzi vachiti", hezvo
nhai Mwari ko sekuru vako
zvavainge vaita huku yadya mazai
ayo chokwadi .Ndapota zvangu
ndiregerere Nyaradzo nekukudzinga
kwandakaita pamba pangu gore
riya kutaura chokwadi kwaiva tadza
nekusaziva ndapota zvangu
muzukuru.

Ndakabata mbuya madhuve ruoko


sezvo vaida kupfugama pasi
chaipo.Ndakadzungudza musoro
wangu ndichiti aiwa ambuya
simukai zvenyu musandipfugamira
nekuti handisi Mwari kana mafunga
kuzipfugama muchaita sekuda
kwenyu kana mafunga kutaura
nemusiki uye musazvishungurudza
zvenyu nekuti ini ndakakuregererai
zuva randakabva pamba penyu
nekuti ndaiziva kuti hakusi kuda
kwenyu asi kuti mainge
mashandiswa nasatani .
Mbuya madhuve vakanditarisa
kumeso vachiti hezvo ko Nyaradzo
chii chakaitika kwauri kuzonaka
zvese nekusvika sebarwe repachuru
ende wanakisa zvako muzukuru asi
watova mudzidzisi kanhi kupenya
ganda kudai aiwa uri munhu
mutema zvako asi wakanaka
zvinodadisa ko uyu ndiye murume
wako here? Ndinogona
kukusheedza ndichiti", Nyaradzo
izvo wava kunzi mai nhingii.
Ndakasekerera zvangu ndichibudisa
invitation weeding card yangu
ndichitambidza mbuya madhuve.Tiri
mubishi kutaura ndakaona sekuru
vangu vasvinura maziso avo
.Ndakafamba ndichivabata ruoko
rwavo ndikati ," asekuru muri
kunzwa semi muviri wenyu .Mbuya
madhuve vakatanga kutaura vachiti
Godfrey uyu zvaari mwana watete
Alice hanzvadzi yenyu yekushaika
gore riya vakasiya rusvava ndiyeka
mwana wavo uyu anonzi Nyaradzo
Alufaya zvino nhasi ndasvika
pakugumirwa nekuita kwaMwari
muchiri kurangarira musikana
watakadzinga gore riya here?
ndichiti manga michida kumubata
chibharo ndiyeka Nyaradzo wacho
uyu.

Sekuru Godfrey vakasimuka


vachigomera apa misodzi
ichitevedza matama vakazoti shuwa
here ? Ndiye mwana waAlice uyu
ndiregerewo mwanangu ufunge
Mwari vakandirova neshamhu
ndikashaya mwana unoziva here
kuti Alice neni takazvarwa tiri vaviri
tikanwa zamhu rimwe chete. Zvino
zuva rakashaika mai vako vakauya
kuhope dzangu vachiti mukoma
Godfrey ndinoda kuti mutore mwana
wangu Nyaradzo mugare naye uye
ndinoda kuti azodzokera kumba
kwavo kana akura zvino ini
ndakasvika pakushaiwa hanya
naNyaradzo apa Mwari
vakamuchovhera kwandiri akura
kudai ndikamudzinga futi pamba
pangu nekusamuziva.
Ndakasvika pakuzonzwa tsitsi
mudhara mukuru achidemba kani
apa misodzi ichiyerera nematama
zvekuti ndakapedzisira
ndavakuchemawo.Ndakafamba
ndichibata mbuya nasekuru vangu
maoko ndikati ",ndakuregererai
zvose zvamakatadza ngatifarei
semunhuri imwe chete sezvo Mwari
vatisanganisa zvekare.
Zuva rangu remuchato rakasvika
vanhu vakaita batai batai bhasikoro
rematanda zvikati "raiva zuva
reweekend saka vana vazhinji
vainge vasina kuenda
kuzvikoro.Lolita naPetty
vaibatsirana kundiita makeup .Petty
obvious ndiye aiva best girl wangu
Ndakatoona Tanaka achisungika
zviya zvekuzvisarudza pane vamwe
achigara kwake ega achiratidza kuti
ainge asina mufaro.Ndakatora
hembe dzakanaka dzandainge
ndatenga ndikati", Tanaka
sununguka zvako ini ndiri kuenda
kundogara nemurume wangu uye
pano pamba pari kusara iwe
nambuya uye hanzvadzi yedu
Travor.Tanaka handisi kuda
kukuona wakasungika
uchizvisarudza pane vamwe aiwa u
are my sister chero kumba kwangu
kwandiri kuzondogara
unosununguka kuuya zvako
paunodira asi chinhu chandinoda
kuti uchengete pamba pano
zvakanaka plus unofanira kuenda
kuchechi uve munhu anotya Mwari
uye ndinozviziva kuti ukakumbira
Mwari ruregerero nemazvo
anokuregerera ukaroorwa
zvakanaka sezvandaita izvi.
Takachatira kuA.F.M sezvo iriyo
church yaipinda vabereki vangu
kubva kudhara uye zvipo
zvakabviswa zvinotyisa
.Ndakatoshamisika ndichiona M.C
achisimuka achisheedzera kuti
vaMachaka vakuru vanova baba
vemuchati uyu anonzi Nigel
Machaka vabudisa chipo chihombe
chekupa mwanakomana wavo imba
itsva makeys aya musharukwa ati
ndafara zvikuru nazvo mwanangu
adadisa saka unokodzera kuva
nemusha wako sezvo wakura
kudai.Chero neni ndakarova maoko
nekuti ndainge ndisina kuzvitarisira
sezvo Nigel aigara achichema navo
baba vake pamwe kwaiva kusvoda
maziso evanhu kuti vonozoti kudii,
hemenowo but i was surprise
nechipo chihombe ichi.

Takagara paMidlands valley hotel


kwemazuva anoita mashamu aiwa
takambofara kani nemudiwa wangu
apa ndainge ndakazvikwanira
zvangu kana iri nyaya yeumhandara
Nigel ndiye murume wandakatanga
kuziva zuva iri zvekuti pakamboita
makwikwi chaiwo pamubhedha.

Ndichionawo kuti Nigel wacho aiva


rima hapana zvaizikanwa zvekuti
takamboda kudzoka kuhoney moon
kwacho pasina zvaitwa .
Mai vaPetty vakafara kusvika
pakusimuka vachitaura nhoroondo
yeupenyu hwangu asi ndakazoona
vachigara pasi vasati vapedza
kurondedzera sezvo vainge vava
kutaura nyaya yekusungiswa nastep
mother vangu mushure mekunge
vachida kuzama kundibatsira .
Ndakashamisika misodzi yamai
vaPetty ichiti" mokoto mokoto
zvekuti ndainge ndatsikitsira ndava
kuchema uye Petty ainge apinda
bzy rekupukuta misodzi pamatama
angu ko makeup yainge yava
kuyeredzwa nemisodzi ndaizotadza
kuchema neiko sezvo ndainge
ndichirangarira kundigonera kunoita
Mwari kudai uye nekwandakabva ko
ndaiva ndiri munhu anozikanwa
nekurara pasi pebridge zvino
ndainge ndava kuzikanwa
nemuchato wakaita mbiri
mukwekwe yose zvekuti
ndichifamba mutown nemurume
wangu takabata maoko vanhu
vaingotendeka vachiti",uyo ndiyeka
mwana wavaAlufaya akaita
zvinogara Zvakadaro kuchata
munhu wese akapembera.
Rimwe zuva ndakagara zvangu
pamumvuri ndakaona Yvone
achisvika pamba pangu apa misodzi
ichitevedza
matama.Ndakagamuchira Yvone
ndikati" chii futi chanetsa nhai tete
Yvone ,Ndakaona shasha
ichipfugama apa kuchema kwainge
kusiri kwenhamo.Yvone akachema
akanditarisa achiti" Maiguru
ndinokumbirawo ruregerero shuwa
ndatambudzika mufunge daddy
vakauya neumwe mukadzi pamba
ane mwana wake wezera rangu
zvino ndava nhapwa pamba
ndichirohwa.Ndakashamiika
ndikati", hezvo zvino bhudhi venyu
Nigel ari kubasa makambomuudza
here? Kuti baba vakatora umwe
mukadzi shame simukai zvenyu tete
mufunge ini handina chitema nemi
uye ndakakuregererai kudhara
.Ndakanhonga bag ratete Yvone kuti
tipinde mumba ndakanzwa bhera
remota kugedhe ndakasheedzera
kuti mukomana avhure ndakafara
ndichimhanya kundombundikira
mudiwa wangu Nigel tichipinda
mumba.
Ndakapira Nigel nyaya yatete Yvone
asi Nigel akambotsika madziro
achiti" Nyaradzo handikwanisi
kuchengeta Yvone kana daddy vedu
vachiri vapenyu uye Yvone uyu
ndinomuziva anogona
kuzokonzeresa problem pano
pamba zvekuti iwe Nyaradzo
unoshaya mugaro pano pamba
Yvone ngaadzokere kumba nekuti
hamungagarisani uye maiita mazera
mamwe chete.
Ndakapfugamira Nigel
ndakamubata mabvi make ndichiti "
,sweetheart pliz rega tete Yvone
vagare pano ndiwanewo munhu
wekutandara naye pazimba rakakura
kudai.
Ndakagara naYvone mwedzi
mishanu apa ndichienda kucollege
sezvo ndainge ndapasa saka
paweekend ndaiwanikwa zvangu
ndiripo pamba.Ndakamboti tete
Yvone ndafunga kutsvaka
musikana webasa anokubatsirai
sezvo muchiona ndakurirwa
nedumbu kudai tete Yvone
vakaseka zvavo vachiti" Aiwa
maiguru ndinoda kudzidzira basa
ini sezvo ndatarisana nekuitawo
imba yangu ko munoti 23 years
ndichiri mwana mudiki here?
Takatarisana zvedu naNigel
tikamboseka .Ndakasimuka
ndichimbundikira Yvone ndikati"
ende tete machinja hunhu hwenyu
manje saka ndinovimbisa
kukuchengetai kusvika mava
neimba yenyu uye ndini ndichava
mai venyu chero taita mazera
mamwe chete no problem .Nigel
akatarisa divi achiita kunge munhu
abatwa neshanje achiti",iwe
Nyaradzo saka unoda kuchenget
Yvone ko baby boy wedu ari
mudumbu mako achatoshaya rudo
zve .Ndakarova Nigel kambama
kerudo ndikati",hezvo, pfutseki
Nigel who told u its a boy am sure
ndiri kuzozvara mwana musikana
nekuti ndinoda kutsiva chinzvimbo
chava mwene vangu tiri mubishi
kuitirana nharo takanzwa inzwi
rechirume panze richisheedzera kuti
pane vanhu here" pano takamhanya
tose panze wanei ndivatezvara
vangu ndakaseka zvangu ndakamira
pamusuwo ndichiti ",tete Yvone
naNigel zvamuchaita kunge
muchadonhedza daddy
nekuvambundikira asi munofunga
kuti muchiri vana vadiki here? tose
takaenderana zvedu kuseka
tichipinda mumba apa munhu wese
aiva nemufaro unoteukira takafamba
takabatana maoko semhuri imwe
chete.
*End of Final Chapter 27*
*QUEEN loves u all stay blessed*i

You might also like