Professional Documents
Culture Documents
Nyaradzo 1 PDF
Nyaradzo 1 PDF
*NYARADZO*
---------------------
First Unedited Published by Aka
Queen Copyright © 2018 by
Shyleen Mutembwa All rights
reserved. No part of this book
may be reproduced or transmitted
in any form or by any means,
electronic or mechanical,
including photocopying,
recording, or by any information
storage and retrieval system,
without permission in writing from
the copyright owner. This is a
work of fiction. Names,
characters, places and incidents
are either the product of the
author’s imagination or are used
fictitiously, and any resemblance
to any actual persons, living or
dead, events, or locales is entirely
coincidental.
**********the beginning*********
*NYARADZO ShortStoryWritten
bySHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 01*
Mom muri kuzviona here? zviri kuita
Nyaradzo wenyu uyu nezuro
ndakamupa mbatya dzangu kuti
awache asi handisi kuona kana
nhumbi imwe chete zvayo
yakachena.
*0718126818*
*Chapter 04*
Travor akamhanya
akachindimbundikira achiti zvino
sisi Nyaradzo muchaenda
kupi.Ndakabata matama aTravor
ndichimupukuta misodzi ndikati
don't worry my dear brother Mwari
vaneni ndivo vachandichengeta
usare uchengete mom naDad
wazvinzwa here Travor be a good
boy ndaenda bye.
Ndakafamba zvangu nenzira apa
misodzi ichiyerera nematama
zvekuti i can't stop crying chinhu
chainyanya kundirwadza ndechekuti
nhumbu ndainge ndaiwana kupi.
*0718126818*
*Chapter 06*
Ndakasara ndikapfugama
pamubhedha uri muchipatara
ndikati Mwari maita zvenyu matuma
Nigel muupenyu hwangu iko zvino
upenyu hwangu hwachinja nekuda
kwemwana komana ane moyo
muchena semukaka usina
zvipomerwa.
Nigel akasvika kumba kwavo
nemota yake apa airatidza kuti haasi
kufara .Akasheedza mai vake padivi
akati mom ndinoda kukuona padivi
pasina vashandi venyu nekuti its a
family matter hazvidi vasikana
venyu varipedyo.
Mai vaNigel vakadzinga vasikana
vebasa vaiva mubishi kuvagadzirisa
vhudzi ravo. Mwanakomana
akaswededza chair yake padhuze
namai vake akati mom ndaita
problem asi ndinodawo kuti muve
nemoyo wekubereka.Ndanhonga
umwe musikana anonzi Nyaradzo
atsikwa nemota muroad umo zvino
mwana uyu haana kwekuenda
zvachose anoti iye inherera akafirwa
namai vake pliz mom do me a fever
ndinoda kuti Nyaradzo agare pano
kusvika awana basa.
Nigel unoda kunzwa malaria here
kana kuti wava kupenga zvako sei
uchida kutora munhu wausingazuvi
kuunza pano pamusha, NO! hazviiti
izvozvo ko kare kose aimbogara
kupi kusvika akure kudaro ane
makore mangani Nyaradzo wacho.
No handigamuchiri munhu
wandisingazivi munhu ane 17 years
aimbova kupi kubva kudhara ko
kana achiba .Kumba kwavo
akadzingirwa chii? Aiwa nherera
hadzichengeteki handifungi kuti
ndinobvuma zvakadaro even baba
vako Nigel havangabvumi kutora
stranger kugara naye pano pamba
never .
*0718126818*
*Chapter 08*
Ndakachema ndakatarisa mota
yaNigel yaibuda gedhe apa moyo
wangu wainge worwadza kuti
ndosara ndichipiwa rudo nani sezvo
Nigel ainge ava kunditora
sehanzvadzi yake chaiyo.Yvone
akaseka zvake akamira kumashure
kwangu akati gegegede chiona
manje Nyaradzo ikozvino wava
kuchema kunge mwana mudiki saka
Nigel zvaaenda uchaita sei manje
unofunga kuti unoramba uchigara
pano uri ani.Kana waida basa
waifanira kutsvaka zvakanaka kwete
kusvika uchindivengesa nabhudhi
vangu chiona manje Nigel aienda
without say good bye Yvone nekuda
kwako.
Ndakatarisa Yvone kumeso kwake
ndikati ndiregerewo Yvone uye
handina kubvira ndakuvenganisa
naNigel ini inga ndinodzora Nigel
pose paanoda kukurova wani sorry
zvako Yvone.Kuchema kwangu
hakuna kundibatsira chinhu nekuti
Yvone akafambisa achipinda
mumba mavo akatora bag rangu
akapotsera panze.Ndakazama
kuchema zvese nekukumbira
ruregerero asi zvakashaya basa
sezvo baba vaNigel vainge vasipo
vaenda kubasa .Yvone akasimudza
bag rangu akapotsera kunze
kwegedhe zvekuti ndakasimuka
ndakaviga foni yangu ndichitya kuti
Yvone aigona kuitora.
*0718126818*
*Chapter 09*
Ndakapererwa ndichiona pamba
pakamira mota yemapurisa
.Ndakabata musoro wangu ndikati
ooh my God saka ndoita sei manje
apa kuti nditize hazviiti nekuti
ndinopinza mai vaPetty
padambudziko risiri ravo semunhu
ainge andibatsira.
Ndaifunga kuti zvimwe mai vaPetty
vainge vasungirwa nyaya yangu
yekuti Trish ainge andiona ndisina
nhumbu sekufunga kwastep mother
vangu izvo handizvo asi nyaya
yainge yataurwa kumapurisa nastep
mother vangu yaiva yekuti vabereki
vaPetty vaiva vandikidnapper.
Mapurisa akatora mai vaPetty
vekavavakwidza mumota
.Ndakamhanya ndichitevera
kumashure netsoka kusvika ndava
papolice station ndikachema
ndichiti officer mukadzi wamasunga
uyu aindibatsira zvikuru uye kuti
ndiende kuchikoro ndivo mai ivava
havana kundi kidnapper asi step
mother vangu vari kuda kutsvaka
nyaya ndapota zvangu budisai mai
Petty vaende kumba nekuti havana
mhosva.
*Chapter 10*
Ndakanyahwaira ndichienda kuseri
kwemba kwaiva nemhuri yose
ichiona gentle man rainge rashanya
pamba pedu zvino munhu wose aida
kuziva mission yemwanakomana
uyu.Tanaka naTrish vaitambudzika
mhani nekuzvigadzirisa hembe
zvikati munin'ina wangu Trish ane
mazamhu mahombe aiwa kani
mwana akatambudzika
achikwiridzira mazamhu ake,
ndakaseka zvangu ndikati hokoyo
mwanakomana adiwa uyu ko abva
kupiko akachena kudaro.
Ndaitaura zvangu ndega semunhu
akashota njere ndakabatira madziro
ndichimbodzosa musoro wangu
kumashure sezvo ndaitya kuonekwa
nastep mother vangu
vaingoringaringa maziso avo kose
kose.
*Chapter 11*
Takafamba takadungamidzana
naTravor wangu tichipinda mumba
.Ndakamira pamusuwo ndakatarisa
munhu wese ainge akaisa ziso rake
kwandiri ndichishaya kuti ko
mhosva yangu ndeyei sezvo munhu
wese abva anditarisa.Step mother
vangu vakaridza zitsamwa
vakanditarisa vachifemera kugotsi
sendere. Travor akandibata ruoko
akati sisi Nyaradzo siyai vanhu
vakadaro handei mumba menyu
ignore them . ndichida kuti ndikande
nhanho imwe chete Trish akafamba
achienda mberi kwangu asvika
achindivharira nzira apa akamisa
diti rake mberi kwangu kunge
achandidonhedza pasi nemazamhu
ake akaenda mberi kunge
guvhudende remukadzi anemimba.
Ndakadzungudza musoro wangu
ndikati musikana uyu anondiziva
mushe here ini ndinogona
kumukanganwa izvozvi
ndikamumanisa chisalady chose
chikapera aikaka ko chaanomirira
mberi kwangu ndichida kufamba
chii ipapa.
Ndakasuduruka kumashure
ndichienda nerimwe divi asi Trish
akasimudza ruoko rwake achindipa
mbama kumeso kwangu. ndakabata
kumeso kwangu ndichichema
ndakatsikitsira apa mabag nefoni
ndainge ndatsveta pasi.
Ndakangonzwa kunge ndagarwa
neshavi ndakasimudza ruoko
rwangu ndichipa Trish zigwati
rembama apa shasha yainge
yakavarairwa ndakarova Trish
achindodonhera kwakadaro. Step
mother vangu vakasimuka vakati
yoweee Nyaradzo wamera mapapiro
ungasimudza ruoko rako uchirova
mwana wangu.
Ndakaramba ndakapfugama
ndichichema zvekusvika
pakukonewa kutaura apa ndakabata
baba vangu ruoko ndichiti aiwa
father handiende kana muchitaura
saizvozvo ko imi baba vangu muri
kuda kuenda kupiko muchindisiya
.Doctor vakapinda mukamuri iyi
vachindibata ruoko rwangu vakati
Nyaradzo enda kumba kwenyu
ndinovimbisa kukuchengetera baba
vako .
*End of Chapter 11*
*Queen loves u all stay blessed*
*NYARADZAShortStoryWrittenBy
SHYLEEN*
*Aka QUEEN of the books*
*0718126818*
*Chapter 12*
Ndakarwadziwa moyo baba vangu
vachitaura mashoko makukutu
aibaya pamoyo pangu zvekuti
ndaishaya kuti ndodii asi
ndaingochema chete ndakabata
ruoko rwemusharukwa uyu airatidza
kuti aiva nemarwadzo aibva pakati
kati pemoyo.
Ndakafamba ndichidzokera
pamusuwo ndikavhura ka1
ndichipinda mumba.Ndakaenda
pafitted wodrop pamusoro chaipo
ndipo pandakasvika nekunhonga
briefcase ndikabuda mumba muya
ndichiita kunyahwaira kusvika
ndava kugedhe chaiko. Ndakanzwa
Tanaka akasheedzera achiti ndaona
munhu anoita kunge Nyaradzo
abuda gedhe akabata bag achiti
nzvesu rimwe rake asi atora mbatya
dzake akatiza kanhi.
Ndakamhanya ndichihwanda
musango sezvo Tanaka naTrish
vakapinda mumota vachitevera
kumashure manje havana kundiona
nekuti ndainge ndahwanda pazimuti
raiva padhuze nepamba
pedu.Hongu briefcase ndainge
ndava naro mumaoko asi moyo
wairwadza kuti ko baba vangu vari
kunzwa sei kuchipatara.
Ndakashushikana zuva iri
ndichifunga kuti briefcase iri
ndichariviga pai kuti ndiwane
kuende kuchipatara uye kuviga
musango ndaitya kuribirwa futi
saka ndodii.Ndakashushikana
nepfungwa kwenguva refu
.Ndakaerekana ndanyangirwa
nehope ndikarara zvangu pasango
ipapo .Zvino panzvimbo iyi
pandakarara paiva nemakomba
airatidza kuti paimbocherwa gold
nevanhu apa foni yangu Gtel
yakatengwa naNigel ndaiva nayo
muruoko.
*0718126818*
*Chapter 14*
Ndakachema ndakagara panze
pechipatara veduwee musatamba
nekufirwa nemubereki umwe chete
wekupedzisira ainge asara
muupenyu hwangu zuva iri
ndakatanga kupindwa nepfungwa
dzekuti ndatova orpharn ende
upenyu hunenge husisina kumira
zvakanaka zvachose.Vanhu vose
vainzwa tsitsi zuva iri pachipatara
ndichichema zvekutadza chero
kufamba chaiko munhu ega ega
aisangana neni nguva yevisting
hour yemanheru aivhunza kuti aitwa
seiko mwana uyo .Handikwanisi
kupindura vanhu asi ndaingoti
ndibaba vangu kani vandisiya asi
vati vari kuda maheu inga
ndakabata wani maheu acho
avanofarira kunwa aya sei
vasarudza kundisiya ko ndiani
munhu achasara achinwa shumba
maheu yavanofarira.
*Chapter 15*
Ndakaudza Trish naTanaka
chokwadi chekuti havasi vana
vababa vangu mushure mekunge
ndagumbuka zvakanyanyisa
.Ndakaona kuti vana ava vainge
vasina moyo wekuberekwa
chokwadi ungabva wanwa doro
nekufara uchiridza radio apa
mubereki wako ashaika chero
zvichinzi chisalady chacho asi icho
chainge chakanyanya veduwee
.Chimwe chinhu chaindirwadza
ndechekuti baba vangu vaida
Tanaka naTrish zvekusvika
pakuvatakura pamakumbo avo
kunge vana vadiki .
*0718126818*
*Chapter 16*
*0718126818*
*Chapter 17*
Ndakamhanya ndichipinda musango
umo mandainge ndakasiya bag
rangu raiva nemadocuments ose
ecompany uye mapepa emba
yevabereki vangu.
*0718126818*
*Chapter 18*
Ndakafamba ndichienda painge
pakagara step mother vangu
ndikasvika ndichipfugama ndichiti
pliz mother ,wipe your tears i
already forgive u ,Step mom vangu
vakandibata ruoko vakati waita basa
zvako Nyaradzo asi utsinye
hwandakaita muupenyu hwako
handikwanisi chero kurondedzera
kuti hwakadii uye handifi
ndakazviregerera ini
pachangu.Ndakapukuta step mom
vangu misodzi nehembe yandainge
ndakapfeka ndikafamba ndichienda
pana Travor naTanaka
tikambundikirana pamwe chete
semhuri.
*Chapter 20*
Ndakavimbisa Nigel kuti
handaizomusiya chero zviome sei
ko ndainge ndabatsirwa naNigel
muupenyu hwangu zvekuti
ndaitadza kuziva kuti
ndichamutenda nei mwana
wevaridzi,Takapinda mumota
tikaenda zvedu kuchikoro apa
taiseka zvose nekuita nyaya tiri
mumota .Ndakati ndasvika
kuchikoro paMushana boarding
school ndikaratidzwa kamuri yangu
yandaizogara uye ndaisheya
neumwe musikana ainge
akasungunuka chaizvo zvekuti
ndakatenda Mwari ndikati maita
zvenyu.
Ndakavhunduswa naLolita
achindirova kumusana kwangu akati
watsap up girl hezvo, Nyaradzo u
are crying because of a man come
on girl wipe your tears mukomana
haachemerwi mhani anokuitisa
famba tiende siya Nigel afambe
zvakanaka hausi kuona here kuti
Nigel wacho ari kutorwadziwa worse
kutodarika iwe uri kumuchemera.
*0718126818*
*Chapter 21*
Ndakafunga zvangu kumboenda
kumusha kundoona Tanaka nastep
mother vangu kuti vari kuzvifambisa
sei paruzevha apo .Kutaura
chokwadi ndakanzwa moyo wangu
kuenda kure zvachose nekuonda
kwainge kwaita stepmother vangu
uye Tanaka wacho aipisa tsitsi
kani.Hembe dzacho dzainge
dzakapfekwa dzainge dzisingaiti
ende waiona wega kuti zvinhu
hazvina kumira zvakanaka
.Ndakanzwa tsitsi ndichiturura
svinga rehuni mumusoro maTanaka
ndichipotsera kudurunhuru
.Ndakamboramba ndakatarisa
ndichiti Tanaka unoreva here? kuti
wabva nesvinga rehuni iri kusango
kana kuti wabva wakatakurirwa
zvako wazotsigwa wasvika padhuze
nepamba .
Takanaka akanyemwerera
achimhanya mumba achitora
chituro kuti ndigare .Shasha
yakasimudzira ichiti" ndati ndini
ndabva ndakataura huni wani sisi
Nyaradzo ndava kugona chero
kubika zvose nekuwacha vhunzai
mom kana mune hembe dzenyu
dzekuchikoro dzakasviba dziri
musatchel ndipei ndikuwachirei
dzose muzobvuma kuti basa rose
ndava kuri gona .
Ndakasimika ndichiratidza
kushamisika apa ndainge
ndakabata musoro wangu ndichiti"
mai vangu muera Shumba iweee
saka ndikakupa hembe dzangu idzi
Tanaka mvura yacho yekuwacha
unoiwana kupi.
*0718126818*
*Chapter 22*
*0718126818*
*Chapter 19*
*0718126818*
*chapter 26*
Ndainzwa manyuku nyuku ndiri
mumota ndichiona ring muruoko
rwangu zvekuti ndainge ndisisina
chero nyaya naNigel apa ndaiva
mubishi kuyevererwa neruoko
rwangu.Nigel ainditarisa
achidzungudza musoro wake
achiseka zvake .Ndakazonzwa
shasha yavakuti chitsva chiri
murutsoka chokwadi asi chemudiwa
wangu Nyaradzo nhasi chiri
muruoko nekuti ndiri kuona mufaro
mumaziso ako mwanasikana
.Ndakaseka zvangu ndichikanda
kasmile kerudo ndakatarisa kumeso
kwaNigel.
Ndakasvika kumba kwedu ndichiita
kutadza nekutaura
nemufaro.Ndakaburuka mumota
ndichipinda mumba mainge
makagara Gogo vangu ndichisvika
nekupfugama ndichiti ambuya
guess what .
.Mbuya vangu vakambobvisa
maboni boni avo kumeso vakazoti
Nyaradzo ndiri kuona kuti nhasi
wakafarisa it's okay let me
guess.Mbuya vangu vakamboramba
vakanyarara vakazosimudzira
vachiti "Nyaradzo wakafarisa
nechikonzero chekuti wapasa form
6 yako uye uri kuda kuenderera
mberi nechikoro ko chimwe
chaungafarira chii .Ndakubata
kudhara chienda undochinja mbatya
dzako utore chikafu chako
mukitchen udye. Ndakaseka zvangu
ndikati nzveee sazita vangu madzva
regai ndikuratidzei pane mufaro
wangu.Ndakasimudza chikunwe
changu ndichiratidza mbuya vangu
ring .Ndakaona kuti gogo vangu
vainge vasina kuona kuti ndasvika
pamba nemota yaNigel shasha
yakadongorera nepahwindo .Mbuya
vangu vakanditarisa vakati waaal
waonaka muzukuru zvandinogara
ndichikuudza zviya kuti mukomana
wako munhu kwaye uye
anokuroora haambokurasisi eish
ende matengerwa ring yakanaka
vaChihera saka muchato wanzi
uriko rinhiko ndanonokerwa
nekukuona wakapfeka rokwe Jena.
Ndakaburuka mumota
ndichimhanya zvekuti Nigel
akashaiwa kuti chii chaitora
nzvimbo .Ndakasvika ndichibata
vanhu vairova murume wava
madhuve ndikati" stop it why
muchirova munhu kudai nekuda
kwe2 litres yemafuta hamusi kuona
kuti munhu anofa here it's okay
ndiudzei kuti imarii mafuta acho
ndikupei kana mafunga kuramba
muchirova baba vangu saka
chirovai ini right.
Ndakabudisa mari inoita $5
ndikatambidza muguard uya
aibatsirwa nevanhu kurova murume
wavamadhuve .Ndakasheedza Nigel
tikatora baba vaya takananga navo
kuWalter private hospital.