You are on page 1of 71

Chapter 1

Tracy

“W
ee wee wee wee”
Ndakavanzwa kuchema ndakagara musitting room ndichiverenga
zvangu magazine. I stamped my feet nekusvotwa, wondering kuti
vaive vamuka nguvai vanhu vandanga ndabva kurarisa.
Twainetsa tuvana itwotwu ende tuchiti mumwe akamuka mumwe aibva amukawo. Apa
mai vacho manyemwe vainyatsoignore zvavo vachitunzwa, vobva vafuga kagumbeze
hanzi ndikafamba famba operation yangu inopindwa nechando. Ariwo mabasa amama
ese iwaya , pakangosununguka my big sister vakabva vamhanya kuti ," Tracy anouya
kuzokubatsira kuchengeta vana ," Ivo kwakutora Naledi , Junior akatorwawo nagogo
Gadzikwa mai vababa vacho, ini kwakuitwa full time baby sitter wemapatya ainetsa
zvinoshura.

I walked lazily kuenda kunursery kwavo , twaive twaitirwa chirungu tukagadzirirwa room
yatwo. Ini ndaingotuisa imomo masikati chete , manheru ndairara natwo zvekurara
ndichifamba ndaisada. Handiti mai vacho vanga vandiramwira twatwatove twangu ivo
vachingozviti vairwara. Musi wandaiwana basa ndopavaibata pasi.

" Tinashe" I called my sister's step son achibva apinda munursery muye achizamura.
" ahh momz ,twamuka tuvanhu utu , haaa zvikoro dai zvavhurwa hazvo ndikaswerawo
kuchikoro ndodzoka twarara."
Takaseka ndichimutambidza one mwana musikana , ndiye aisanetsa kufeeder ,
mukomana aikweva mukaka kunge anopenga opedzisira akachidzwa saka aitoda ini
munhu mukuru.
I handed him 1 bottle tichibva tatanga kufamba kuenda kusitting room kunogara pasi.
" iwe Tinashe wanga uchiti unenge wakuenda kuschool wodzoka varara asi
makazowirirana kuti unodzidza kuday school?" I asked because vainetsana nenyaya
yekuti onoitira A level kupi , baba vacho vachiti adzokere kuboarding.
" haa daddy ma1 but mama vakati vachataura navo saka ndogona kuhwinha" mama
vairehwa was my sister , waisamboziva kuti ndistep mum vana vacho vese vaimuda, even
ini vese vaingonditi mama.
I laughed ," koiwe ingodzokera ka kuboarding nhai "

1
" ahh momz handichada zvekugara ndakavharirwa , ndakuda kumbodzidzawo
ndakasununguka , manje mdara akadhakwa brain haambozvinzwisise hake "
Ndakazonyatsoseka ," hookay vakadhakwa brain , rega vauye muno vakunzwe hako
uchidaro"
" kkk obvious ndodzingwa pamba " takaseka , bamukuru vaive strict especially palangauge
apa slang vaisada kana kuinzwa, vaibva vati mwana wamufundisi aifanira kuleader by
example nekutaura proper language.
" better ndakunorara ini , munhu wangu arara " akataura akutosimuka Tinashe ndichibva
ndangosara ndega na Tadiwa wangu. Ndakambogara ndichiti kacharara but kaisatoda.
Kuti ndiverenge ndandisisakwanise nekuti kaisada kuiswa pasi so I decided kunomutsa
hangu mai vacho kuti titandare.
Taingoswera pamba pacho tiri 3 nevacheche tobva taita 5 , bamukuru vaiswera vachiita
ravo ravakadanirwa taitozovaona manheru then vamwe vana vaive kuschool, aitevera
Tinashe.aive form 2 ari muboarder vadiki 2 ndovaienda vachidzoka.
Ndakakweva makumbo ndakananga kubedroom kwaTrish, ndichingovhura door achibva
atotanga kucomplainer," veduwee ndiri kuda kumbozorora kani "
Laughing, " hezvo hezvo munovazvarirei vana kana musingavade nhaimi , apa dai vari
vashoma better 8 gegege ahh nyararai mhai , muchanetswa kusvika mati sorry"
" kkkk Tracy ka siyana neni "
" aiwa asikana mai mufundisi makanyanya ahh aiwa munoda sando"
" haipere here nyaya yacho nhai , it was a mistake , papi pacho pandaizoita nhumbu
ndichida iye Junior asati asvitsa 6 weeks " she said achitambira mwana nekumurezva rezva.
" haisi mistake , kuda zvinhu. Maiti makangwara ka mukati manurse anopenga anopa
vanhu family planning pasix weeks, handina hangu mashoko nemi amai " vaive
vazvivharisa sisi vangu kuenda ku6 weeks vatove neimwe nhumbu apa kwakubva vaita
matwins. All in all vanga vane vana 8 , Trish aive newake from her previous marriage ainzi
Naledi , kotevera Junior nematwins ,Tadiwa naNatalie necurrent husband. Murume wake
aive ne4 ,Tinashe , Takunda , Alicia naAnita.
" kkkk Tracy ka unomboziva kuti ndiri sisi vako here , ndiri kuda kumuudza Dee kuti
ndozvawauchitaura " she said laughing.
Ndakasekawo ," Dee ndiani , munhu ane vana 8 anosheedzwa nezita , kwanai imi , Dee
wako iyeye unenge uchimuudza kutii horaiti ,hapana chekunyepa chandataura apa
ndangotaura chokwadi chete sezvachiri"
" haiwa ibvapo kuda kungoudzira vamwe chete , iwe unoudzirwa nani kklk"
Nyaya yacho ndakaiziva saka ndakaseka ," kuudzirwa kutii , kuti ndiite mukomana? Ini
handiite zverudo ini, I'm just good at giving vari murudo sound advice , seipapa my advice
is endai munosungwa matube both of you kuti pasave neroom for mistake nekuti tikakusiyai
munoita mamwe mapatya futi , ipapa matomiswa neoperation pasina izvozvo matove
nemumwe so"

2
Akachema nekuseka achibva angoti ," Tracy ka "
That was me ndaigara ndichida kupa vamwe advice , I was good at that but kurudo uku
ndaisatambirako. Vanhu vekumba kwedu vaingoti ndinoita zvinhu ndakahwanda ,
kusatoziva kuti hakuna chaiitika. I had a boyfriend once when I was still in highschool but
hapana chandakaona chainakidza ini ndichibva ndasiyana nazvo. Worse pandakazokura
ndichingoona vanhu vese vaive mumarelationship vachichema , ndaitoshaya kuti
vaizvinetserei nekuti isu tanga tisina vakomana vacho taingorarama. Ipapa ndaizviziva
hangu kuti vanhu kumba vanga vakutonetseka but paishaya anonditanga , vaitya
kudzokorodza scenario yakaitika pana sisi vangu vanga vazoguma vave married to an
abusive husband , vaingondisiya ndakadaro. I lived a stress free life , isina kana pressure , I
stayed away from love...

3
Chapter 2

M
atwins aTrish anga akutosvika 2 months ndingoriko kuChitungwiza , kumba kwana
mama ndaingoenda pano neapo kunovadongorera. KwaTrish kwainakidza
kugara sezvo kwakusina kana pressure manje kumba taigara takabatana huro
nemukadzi waPrince hanzvadzi yangu yandaiteverana nayo.

I had just received a phone call from my friend Ashley achiti aida kuperekedzwa kunorova
girlfriend yemurume wake. She had been married for sometime atori nevana 3 but
marriage yacho yaive yekubatanidzira chaiyo , it was one crisis after the other , if he isn't
cheating , he is not giving her money or arikugadzwa kadare kumusha kwemurume wacho
, ini chaiita kuti ashingirire ndaichishaya, aimboti akatiza zvonyengetedza zvodzokerana
pasina kana nguva.
Ndanga ndatonetawo ini nekumubatsira kutuka mahure emurume wake nekumboedza
kuvagadzirisa. Murume wacho aiti ka kana vanetsana ouya kuzondikumbira kuti nditaure
naAshy . I didn't approve of their relationship but ndaizivaka kuti shamwari yangu inenge
yanzwa nekukuvarira mukati , waingotaura muromo 1 kuti ba Roselyn vambofona aibva
atosunga twake odzokera. Chaaivavarira chaicho ndaichishaya , she was independent ,
aizvishandira and she could take care of her kids nyangwe kuri kunzi murume wacho
aramba kuchengeta vana asi munhu aingoswerera kuteverana neboorangoma rake.
Ndakadzokera patable paive nevamwe , ndanga ndatosimudzwa pafood nenyaya isina
kana nebasa yemunhu aisaziva zvaaida . Maziso andanga ndakapihwa nabamukuru
naTrish aitoratidza kuti vanga vasara vachindinyeya.
Ndichingogara pasi bamukuru vakabva vati, " mainini muvaudze bamunini kuti vasapote
vachifona nguva yechikafu"
Takaseka Trish achibva adaira , " apa musiuno uyu zvenyu imi daddy aiti anoda kuita sister
"
I laughed "mai mufundisi ka" ndozvandaingomusheedza ndichiita , ndaishaya kuti
ndomusheedza nezita remwana wake here or refirst born yemurume wacho or maybe
raJunior first born yavo vese. " ndakambodaro here ini?"
" hauna kudaro here ?" she said.
"Ndakati handidi zverudo chete, everyone who is in love seems to be miserable one way
or the other"
" isu we're not miserable" bamukuru said vachisveverera kukisser adzimai vacho padama ,"
aren't we happy nhai Tee " tuvana twavo twakabva twatanga kuseka pakasheedzwa mai
vacho nezita.

4
I laughed," muri semi henyu ka nyararai " takaseka tese obviously tichiremember what they
had been through kuti vazosvika apa.
" asi mainini chiitai serious , munouya nemunhu wenyu toenda naye kuprayer mountain
kkkk"
" hakuna munhu uku bamukuru , ini zverudo chokwadi ka count me out "
" ko saka anga afona ndiyani? 30 minutes muri pacall? I'm sure munhu iyeye haasati
akuudzai but anokudai "
Ndakaseka," bamukuru ka , mai Rose vanondida kuti tave malesbian here " vaivaziva nekuti
ndanga ndatombomuperekedza kunabamukuru kuti vamunamatire nekuda kweimba
yake yaaida chaizvo.
" muchanyepa mainini"
" ndiri serious ndinganyepere munhu waMwari here , vari kuda kuperekedzwa kunorova
girlfriend ya baRose."
Bamukuru vakango zunza musoro , Trish achibva aseka ," zvamuchapedza nyika yese
nhaimi muchiirova nekutuka, muchenjere kunorohwa murimi"
Ndichirovanisa maoko ," ehh handina kwandiri kuenda ini ,ndakamuudza kudhara kuti
kana zvanetsa siya but haadi ngaaite nyaya dzake ega"
" anoda zve munhu wake nhai " Trish said.
" mmm rudo rwacho bodo veduwee , hakuna rudo rwakadaro , vanhu munonyepera rudo
, kudzungaira chaiko , I told her long back siya munhu uyu haakude but yohh unenge
uchitopedza voice rako mahara"
" ana Tracy " ndozvega zvaakataura akusimuka kunotora drink ranga ranzi ririkudiwa
nabamukuru.
Akazofona Ashy achiti anga anorova munhu nana sisi vacho apa kutozoganza hanzi baba
Rosy vanditengera handbag resorry , I really felt sorry for her aitonzwisa tsitsi zvesure.
Next week yacho on a Monday, bamukuru vakauya kumba vachifara , vakatongopinda
mumba nekutanga kundisheedzera. Ndakamhanya kwavaive
"Ehh mainini 1 of my friends ari kuita outreach kuChimanimani said kune NGO iri
kunobatsira ikoko kwakaita saka ikutora vanhu vane 5 subjects chete ndorequirement,
hameno kana muchikuda?" I was more than excited zvebasa ndozvandaida, ndanga
ndasuwawo kumbobata yanguwo mari inonyatsonzi yangu.
" ehe ahh ndoda , ndingarambe basa sure?"
" vakadzi hamumanikidzwe ka kushanda pamwe bamunini vanenge vakati do not worry
baby ndokuchengeta"
" bamukuru ka" I said ndakudzokera kukitchen kwandanga ndanzwa kunge poto yanga
yakutsva .

5
Vakaendesa mapapers angu ndichibva ndatosheedzwawo zvesure. Ndakaenda kwana
mama ndikanooneka vanhu nekunotora zvimwe zvinhu zvangu kwakuzobva ikoko
ndakananga kubasa. It was my first time kuendako saka handina kumborwadziwa
nejourney , I hated travelling but urwu rwendo rwakandinakidza sezvo ndaiona nzvimbo
nyowani nzira yese.
Ndakasvika maMutare ndomaive nemaoffices acho then from there taizoendeswa
kunzvimbo dzatainoshandira.
Dzungu rese rakambopera nekusvika panzvimbo nyowani , vanhu vazhinji vaivepo
vairatidza kuti vaizivana , vaive vakangomira magroup magroup ,I guessed kuti maybe
vaive vambotorwa before sezvo yainzi kana wakambotorwa unenge wave ne added
advantage pavaizotora futi.
Ndakapedzera shungu pakuvhura nekuvara handbag rangu, I was really feeling out place
surrounded by new people vachitaura chirudzi chandaisanzwa. Chimwe chacho chaive
easy kurelater kuShona but the other one chakaita kuti ndirambe ndakangoyeva
vaichitaura. Munoziva vasikana manyemwe pavakaona ndayeverwa navo vanga
vakungonditarisa nemaziso ekundipima nekuwedzera volume yelanguage yavo
yandaisanzwa.
It was really easy to tell kuti vainditaura saka I moved a distance ndikanomirira nechekure.
I was already homesick kutofunga kumba chaiko as if ndaive mwana mudiki and it was my
first day at a new school. I was brought back to reality by a husky voice which came from
behind me ," saka you don't speak Ndau?" the voice said ndichibva ndacheuka
kwaraibva.
" makadii henyu " I said , the guy was slightly older than me probably kuma early 30's ikoko
saka I decided to respect him because he was probably married.
" handina mudzimu" he said ndichibva ndamutarisa ndichishaya kwaienda nyaya yacho.
He laughed and I couldn't help but stare at him achiseka zvaiyevedza .
" handisvikirwe so there is no need to respect me uchinditi *ma* ndingori munhu 1 handina
asekuru vakandigara so please call me Antony "
Ndakaseka ," hoo kkk iribhoo urisei Tony " ndakangoerekana ndawochoka.
" mmm Tony " he smiled , " ndiri bhoo hangu , so it seems we're the only Shonas here , I saw
the way you were starring at those girls and the isolation ndikaona kuti hapana
chirikunzwikwa , they were talking about you unoziva "
I laughed ," I noticed , hanzi chii ?"
" ndisiye ! Kkkk handiite makuhwa nemunhu wandisingazive" that's when I realized kuti
ndandisina kumuudza zita rangu.
" ndonzi Tracy " I said , ndakatotaura fast nekuda kunzwa kuti vaitii vasikana vacho.He
looked at me and smiled ," hanzi wakanaka "

6
Chapter 3

F
or some reason I found myself blushing nekunyaririra , I wasn't a shy person ndaive
nedzungu like everybody used to say but apa dzungu rese rakambotonhodzwa
ndikatanga kusekerera zvisina order. Neniwo ndakatadza kuziva kuti ndaisekererei
kunzi ndakanaka. Tony akaramba akanditarisa hameno kuti aida kuti ndipindure kuti chii ,
ndakazongoti ," haa ibvapo , unonyepa"
He smiled ndikatarisa kuside , hameno smile yake zvayaive so yaitoita kuti ndimerere ," ndiri
serious , I think ndozvavataura ini kana kuti ipfungwa dzangu? Hameno pamwe inyaya
yekuti ndozvandanga ndichifunga ndosaka ndazonzwa kunge ndozvavataura " he said
achiseka.
I laughed zvekuti vanhu vese vakatombocheuka ," Tony ka"
" sure hako , pamwe ndatadza kunyatsonzwa. I'm not very good at the language though
ndichibatanidza batanidza hangu asi zvimwe zvinombondivhara"
" saka usataure kana usiri sure "
" apa I wasn't sure kuti ndozvavataura but pakuti wakanaka I'm 100% sure "
Ndakamutarisa ndichimufungira mhinduro kwakubva tazosheedzwa ndisati ndapindura.
Takafamba tikaenda paive nevamwe takunomirira kupihwa mateam ataizoshanda nawo
kumacamps kwacho. Ndaingonamata nechemumoyo kuti ndipihwe vanhu vainzwa
shona , I couldn't imagine kuswéra nevanhu vaunenge usinganzwanane navo.
Takasheedzerwa mazita tichiiswa mumagroups of 3 , fariro yandakaita pakasheedzwa zita
raAntony musame group neni one would think tanga tatobva tese. Ndaingofarira hangu
kuti at least ndaisazosurukirwa nekuti ndinenge ndine munhu wandinonzwanana naye.
Mumwe wataive naye ainzi Chiedza or mai Divine. ,ndakatozonzwa patanga takutaura
tese kuti vaitogona Shona zvavo but pandanga ndambosvika vaivemo wo muchikwata
chevanhu vainditarisa tarisa vachindinyeya , her Shona wasn't that good but yainzwika.
Takapihwa maTshirts ataizoshanda takapfeka then told kuti taizosangana pamaoffices
ipapa mangwana na8 tozoenda kunosiiwa kunzvimbo dzataizoswera tichishandira.
Bamukuru vaive vataura neshamwari yavo yaigara ikoko kuti vambofanondipa pekugara
ndichitsvaga pangu saka ndiko kwandakabva ndananga, ndaive ndavafonera vakati
ndivamirire mutown
" ko uri kunditizirei nhai partner " I heard Tony's voice ndakutobuda gate.
" ndati pamwe hausati wakuda kuenda ka ini " I said ndichimumirira nekuti anga akutouya
achimhanya.
"Ukapota uchindidadira so ndinokusiya uchinyeiwa ndisingakuudze kuti vari kutii " I laughed
," ndiwe munhu asina kana chaanonzwa manje iwe , wakatongofananawo neni " I said.

7
" at least I'm better than you , so unogarepi ko nhai Tracy ?" he asked.
" kuno?" ndakapindura nemubvunzo wanguwo.
" kuno ndatozviona kuti hausi wekuno netravelling bag ririkutoratidza kuti uchangosvika.
Plus chadzimira changa chakakubata paye ndechemunhu asina kana chaanoziva
nezvekuno. Ndipe ndikubatire hangu bag iro " akataura akutodhonza bag randanga
ndakabata , ndainge ndangouya nekabag kasina kumbonyanyokura kaingova nehembe
dzangu nekablanket kadiki kekungobvisa nyadzi , kuti ndinzi ndauya neblanket.
" ndogara kuHarare " ndakazopindura.
" kuside kupi ?"
" unoda kuzivisisa iwe , kuKuwadzana " I said ndichiseka.
" ndinoda kugara ndaziva zve kuitira mangwana , ini ndogara kuChitown"
Zvedzungu ," hoo , kunogara sisi vangu first born yemumba medu , ndokwandanga nditori
nguva yese iyi , she had twins saka ndaivabatsira kuchengeta vana " I said.
"Saka wakanaka ka iwe tried and tested unotoziva kuti vana vanochengetwa sei"
" hurovha hunoparira sha ndiwe unenge wakungoitiswa yese yese "
" pakaipa sha , inini kana nditori kuno soo ndombofurwa nemhepo kwete ndiri kumba uku
ndinoita kunge ndini ndichasukiswa maplates vapfanha varipo " ndakaseka.
" serious zve vapfanha vanoenda ka kubasa saka panonzi parikudiwa muriwo chii chii
vanobva vangoburitsa mari voisa patable , iwewe waswera pamba you'll be forced
kutongonotengawo muriwo wacho kuti zvibalance , papi pacho pauchasiya munhu abva
kubasa achisimuka kunotsvaga muriwo "
" mmmmm" I said ndashaya kuti ndomutii.
" jokes zvako baby , I hustle handizoswera hangu pamba but basa rekumbonyatsoitawo
serious so ringori bhoo , panoperawo 3 months dzatakasigner idzi ndendane mari irinani
yekuti nditangewo kabusiness kanobatika "
" yah"
Takafamba ndichitaurirwa nyaya dzekubasa sezvo aive ambokushanda futi ainyatsoziva
nezvako, kwakuzotanga kutaura dzekuChitungwiza takutopanana madirections ekumba.
Aive munhu aifara and dzungu redu raipindirana zvekuti takazosvika pandanga ndanzi
ndimire nababa Munenyasha, shamwari yabamukuru ndisina kumboona kuti tafamba sei.
Takangomira nguva diki diki vachibva vatosvikawo baba Mune vaye ndichibva ndapinda
mumota takuenda.
" ndivo bamudiki here avo nhai mainini " he said tati fambe fambe takanyararidzana, sezvo
yaive first time yedu kuonana nyaya taive tisina tanga tangomhoresana kwakunyarara.
Ndakaseka ," kana , tinenge tichishanda tese chete yuwii ndanga ndatowana bamudiki
zvenguvai munhu asvika nhasi "

8
" ahhh pamwe munenge mabva henyu mese kuHarare ka " he said vachiseka havo
tichibva tatanga kutaura dzekuchurch nekutsanangurirwa maitikiro anga aita Cyclone.
Vaigara vangori ivo nemudzimai wavo nevana vavo 2 Munenyasha na Anashe vasikana
vese. Takasvika vakagara zvavo panze tuvana tuchitamba kwakuvamhoresawo ka zvine
hunhu tichibva tangogara wo panze ipapo. Takagara panze paye baMune
vachingotaura mukadzi wacho akangonyarara ndini ndaitongodaira nyaya dzavo
nevana kusvika vazoti ," Mune torera mainini drink nemabuscuits " kachibva kamhanya
kaMune kaye ndofunga kaive age yekuma grade 5, iko ndanga ndanzwa nenzara , I
wasn't a fan of fast foods saka ndanga ndisina kana kumbotenga chikafu.
" handei munodyira mumba mainini " he said ndichibva ndasimuka kuenda mumba muye.
Rakauya drink nemabiscuits ndikadya hangu mbijana mbijana ndichiona TV , ndapedza I
decided kunoisawo zvinhu kukitchen nekutozvisukurudzawo semunhu aigara zvimazuva I
wanted to familiarize with the place. Ndakasheedza Mune kuti andiperekedze kukitchen,
mai vacho vanga vatevera murume wavo paakabuda vachibva vandisiya ndiri ndega.
She came kachibva katungamira ini ndichitevera , tichingobuda musitting muye
kwakutambirwa nemavoice aibva muroom yaive nechepaside .
Raitaura raive ramai Mune time dzacho," ini hangu handisi comfortable " ndizvo
zvandakanzwa , zvavakataura kwekutanga ndakazvipotsa.
" zvaunotaura nhasi here mai Mune? " the husband said.
" hamuna kunge mandiudza zve kuti ari kuuya soon , ndaiti paanouya ndinenge
ndamutsvagira imba " ndakatoramba ndakamira ndichida kunzwa kwaienda nyaya
because it was obvious kuti ndini ndairehwa.
" saka pandakakuti arikutanga basa nhasi waiti anenge ari pai nhai ?"
" zvanga zvisinei neni izvozvo. "
" ayha mai Mune ita semunhu mukuru iwewe , ungarwadziwe nekuti munhu angogara 1
month chete otsvaga hake kumwe? Ezvi wakutanga kutaura zvese zvekuti hee sisi vake
vakazodii zvapinda papi apa, ini handione kana dambudziko vakangogara 3 months
dzecontract dzacho dzese "
" handiti matoronga mapedza yangove mainini this, mainini that pamba pangu , hameno
itai chero zvamunenge maita " she said vakunzwika kufamba vachiuya kudoor ndichibva
ndangopinda mukitchen muye kuti ndisaonekwe kuti ndaiteerera nyaya dzavo.

9
Chapter 4

N
dakabva ndatove homesick after ndanzwa kuti I wasn't welcome pamba pamai
Mune apa varivo vanhu vandaitoverenga kuti ndidzo hama dzangu munzvimbo
nyowani. Ndakasukurudza maplates aye ndichibva ndangosuka nemamwe aive
musink ndichitaura hangu naMune naAnashe.
" uri grade ani nhai Mune ?" I asked trying to make myself feel better nekuti ndanga
ndatove nestress trying to imagine kuti ndaizopagara sei pamba pakadaro.
" angadai ari grade 5 asi akadzokorora " yakadairwa naAnashe instead yekuti muridzi
azvidairire. Sisi vacho vakabva vasimuka vachida kunomurova ndikamhanya kunovabata
ndichiseka.
" usarove mwana Mune " I said , mwana wacho achibva amhanya kuzohwanda kuseri
kwangu achiseka hake.
" anobhohwa uyu mama Tracy , handiti ndakadzokorora nekuti ndakamborwara here nhai
" ndaive ndakutonzi mama Tracy kubva pandandavaudza kuti ndonzi Tracy.
" kudzokorora hakuna basa zvako iwe " I tried to comfort her. Anashe achibva adaira ,"
madofo ndiwo anodzokorora mama Tracy , teacher vedu vakati anenge adofora
anodzokera grade 1"
" ukadzokorora unobva watopasa manje " I said.
" asi imi makambodzokorora bvamazopasa ?" Kakabvunza katori serious wena ndikaseka
," handina , sisi vangu ndovakadzokorora " I said.
" vakapasa?" she asked again , munhu wacho aida kuziva ziva.
" Ehe vatori mai mufundisi " I said kachibva kaseka ," saka ndakuda kudzokororawo "
Laughing ," kuti uite mai mufundisi ?" she nodded ,sisi vacho vachibva vaseka
vachimudadira kuti ndivo vakuita mai mufundisi zvekuti kakapedzisira kakuda kutochema.
" mese munoita horaiti " ndakazotaura kuti nyaya yacho ipere. Takabuda mukitchen
tikadzokera panze kunotamba panze , kusurukirwa kwese kwanga kwapera ndichiudzwa
nyaya dzekuchikoro , kuratidzwa mabook nemareport. They were actually competing for
attention from me and it made me feel better.Takazopinda mumba kwakutosviba
kwakudya mai vacho vakangoti zii. Ndakanosuka nanaMune vangu tikapedza, tikadzoka
tikagara maive nababa namai vacho kusvika baba vacho vazoti ," Mune tora bag
ramainini uendese mulast room " raive ringori paside pesofa pandanga ndasvika ndichiriisa.
" mainini pamwe makuda kurara henyu , ratidzwai nevasikana ivava room yamunenge
muchishandisa" he said.
" tiri kurara namama Tracy here mama" Anashe akabvunza achikwenya kwenya mai
vacho.

10
" mama Tracy vekupi?" she asked zvinhu zvaive pachena mwana achibva
andinongedzera apusa.
" muri kurara kwamunorara mazuva ese " she said ndichibva ndasimuka ndakuenda hangu
kuroom kwanga kwarehwa.
" toonana mangwana sisi nabamukuru " I said , ba Mune vakadaira, mai vacho vakangoti
" mhh"
I walked slowly zvangu ndichienda kunorara , ndichivatuka hangu nechemumoyo. Lucky
ravanga vaita raive rekuti ndandisina kumwe kwekuenda otherwise ndaimbovaonesa
mbijana. Ndakatanga nekunogeza kwakuzoenda hangu kunorara. Vasikana vaive
vakandimirira , nyaya dzavo dzaisapera ndakatozoita vekudzinga sezvo mangwana acho
kwaive kuchikoro.
Twaenda I took my phone kuti ndimbotaura hangu nevanhu kumba , ndakataura
namama ndichivaudza maupdates ekubasa , vaitoda kuziva every detail mama vacho,
kwakuzosendera hangu Trish message ndichimuudza zvaiitika kumba kwehama yake
nemurume wake.
" maimwana hama dzenyu hadziite " I texted , kwakuita nguva isina kudairwa , munhu
wacho angaasina basa neapp especially manheru murume wacho aripo aigona
kusatomboibata. Ndakatozoita wekufonera nekuti ndanga ndatoremerwa ,she answered
ndichibva ndati ," hama dzenyu dzodada , ndadzidza kusina mai hakuendwe "
" ko indava" she replied achiseka.
" cold shoulder yandapihwa , hauzomboda iwe mmmm I miss home already "
Akaseka futi ," inga vanhu varibhoo wani murume wacho akatombouya akagara kuno
vaine conference."
" murume wacho bhoo, mukadzi wacho iwe mmmm bodo , ndato munzwa achiudza
murume wacho kuti haasi comfortable nekugara kwangu pano, Imi manga makataurirana
kuti chii ?"
" ahhh ba Tinashe ndiye akataura navo , handiti ndivo nyakutotaura kuti kuri kutorwa
vanhu kuNGO , ba Tina vakati ndina mainini vangu ka vachibva vati ngavauye.
Pawakasheedzwa vakati vanosvikira havo kumba, kuti vavasina kutaurirana nemukadzi
wavo?"
" pandavanzwa vachitaura, vanenge vakataura or maybe havana kunzwisisana havo?"
"yoh inga pakaipa , pamwe wasvika uchiita zvako zvekuzhangandira ka vabva
vavhunduka " akataura akuseka.
" kana iwe ndatoita munhu kwaye ufunge. I think itype dzenyu dzinobvundira varume
kwakutotya kutorerwa gegege because ndanzwa vakuti yango mainini this , mainini that
kana kuchengera kwacho , ndisina kana mahours ndasvika ufunge "
"Kkkk varume vari kunetsa shaa "
" kkkk ngavandisiye hangu handina kana basa nemurume wavo ini. "

11
" gege ana Tracy "
" sure zve ndizvo zvimwe zvandisingadire zvelove and marriage izvozvi zvekungogara
munhu hana iri mumaoko mmm kutadza kunyatsopombonoka uchityira mumwe munhu. "
" zvako zvekupenga izvo" she said apa ndainzwa hangu murume wacho akucomplainer
kuti call yarebesa, ndohwaiva hunhu hwedu ,taiti kana tatanga kutaura hatipedze
taipedzisira takutaura nyaya dzisina nemusoro, ipapa ndakabva ndatofunga kumudenha.
" chimwe chikuvavhundutsa inyaya dzako ndavanzwa vachitaura sisi vacho kudii , obvious
vakufunga kuti mhuri yedu inoda mafundisi sterek " I said ndichisekera pasi semunhu aive
pamba pevaridzi.
She laughed ," ko ini ndakadanana namufundisi vane mukadzi here ini?"
" hapana anoziva " I said ndichimutsvaga hangu because their relationship was questioned
by a lot of people. Her husband was her former pastor saka vamwe vanhu vaiti vakatanga
kudanana mufundisi vasati vafirwa iye asati arambana neex husband yake.
" futsek wako Tracy , hausi riwe waindimanikidza kubvuma Dee iwe ? "
I laughed ndichinzwa bamukuru vakumubvunza kuti isure here yaaitaura ," ndanga
ndaona kuti uri kumubvundira shaa , ndimi ka musinga gone kurarama varume vasipo "
Akatanga kutoseka hake akuratidza kuti vanenge vaitotekenyedzana nabamukuru
kwakuzoti ," pihwa cold shoulder sure nekuti hadzimo "
Ndakaseka hangu ndichibva ndati,"Mangwana ndichatoudza hangu Tony anditsvagire
imba ndigare ndega " " Tony ndiani ?" she asked then I realised kuti ndanga ndatomutaura
nezita ndichifunga kuti aimuziva.
" hoo mumwe mukomana wekubasa kwedu so "
" kubasa ?wawaziva nhasi ?" Bvunziro yacho yairatidza kuti munhu ashamisika zvesure.
" Ehe , ndasangana naye nhasi "
" ehhh hoo, but kuroja kunoda une kamari zve nhai , uchada magumbeze , food , rent , dai
wangoshinga wozviita watambira "
" ahhh pakaipa rega ndimboona kuti mari yandiinayo yakamira sei " ndakadaira
ndakutoedza kuworker maths dzangu , ndanga ndiine kamari hangu , imwe ndakapihwa
namama , imwe bamukuru nemabrothers angu but kuti ikwane zvekuroja ndaisaona
zvichibuda nekuti ndaipihwa ichingonzi ipocket money sezvo accommodation yaivepo.
" iribhoo , wabva watondifungidza wakaba 10 us yangu ka iwe "
"Kupi kkkk undikwanire " I said ndichifunga kuti aitamba.
" iwe yairi mari yana Natie yetransport yekuchikoro unoziva , takaitsvaga nezuro tikaishaya
baba vacho vakatozondipa imwe , dai wakataura "
Ndakaona kuti aitove serious ndichibva ndati" iwe handina mari yandakambotora ini "
" ahhh saka yakatorwa nani ndatoti ndiwe ini because payaive panotongosvikirwa
nemunhu mukuru ana Natie havaimbosvikira saka yakaendepi ?"
12
Chapter 5

T
akabva pacall Trish aconcluder kuti aive amisplacer mari ndichibva ndarara hangu.
At least the room was comfortable mubhedha wacho wainyatsove nemagumbeze
aidziya pasina izvozvo ndairara ndichibvarurwa nechando nekuti kuna mai Mune
kwaisakumbirika extra blanket.
The following morning I woke up early kuitira kuti ndisiye ndaitawo something zvaisazoda
kuti munhu ari pamba pevanhu woitirwa futi basa. Ndakatsvaira yard nekucleaner mumba
zvekuti pakazomuka vanhu ndanga ndakutopedza. Mai Mune vakabva vatongoita busy
nekugadzirira vana vavo kuti vaende kuchikoro tangomhoresana zvezita. Ba Mune wo
pavakamuka kwakuti ," mainini mungamukire basa sure imi muchida kuenda kubasa here
, munonoka sure ,ezvi mamuka nguvai nechando chekuno ichi?"
Ndakaseka ," kana bamukuru , ndatojaira kumuka ini "
" ahh musadaro sure " he said vakufamba vachienda kubathroom vairatidza kuti vaida
kutobudawo.
Pasina nguva ndikanzwa yave hohoho ," saka muri kumurambidza kúita basa kuti ini
musikana webasa ndisare ndichiitaka ?"
" mai Mune chii asi ?" the husband said calmly.
" aiwa ka kana munhu amuka achiita basa pamba paari kuchengetwa zvakaipei nhai ? "
" I was just trying to make her feel comfortable chete , plus vamukira zvesure ndavanzwa
kudhara apa ukunyatsozvinzwa kuti kukutonhora"
" ehhh ayha"
" unongotsvaga nyaya pasina kana nyaya soo" murume wacho akataura achipinda
mubathroom nekurovera door.
Ndakapedza kucleaner ndikanozvivharira muroom mangu ndichifunga mashoko amai
Mune ekuti ," munhu otadza kuita basa pamba paari kuchengetwa ?" Tauriro yavaiita
made it seem like I was a charity case , kunge ndaitove stranded , I took my phone
kwakufononera mukadzi waTawanda , tairambidzwa ka namama kukumbira mari kubva
kunana Tawanda or Prince direct tainzi hazvina hunhu endai nekumuroora , zvino
nemukadzi waPrince taisanyatsokenerana saka uku ndokwaitosvikika ," wifey " I said as she
answered the phone.

" hesi murume, urisei ?"


" ndiribhoo , ndipoo mari " I said ndichiseka.
Akaseka hake kwakuti ," ndazviziva , imi chaiye kufona ? Hazviite , mukuda mari yei ?"
13
" ndokuudza chimbondipa mari chete iwewe "
" mariiko nhai tete ?"
"Muka burner 30 us inokwana" I said.
" iribho " aisanetsa muroora wangu plus netuma business twake hobho hobho aiwanzogara
aine mari. Pasina nguva akatoisa mari iye paecocash ndofunga yanga yagara irimo.
Ndaive ndatoronga kutsvaga imba zvemusarinya ndaisada hangu, knowing myself very
well ndikaramba ndiripo ndaizobva ndaburana nevanhu. Mama ndakavanyengetedza
vakandiisira imwe zvekuti yese yanga yave nani ikazoshota ndaitsvaga imwe plan.
Ndakapedza kugeza ndichibva ndanzwa knock padoor , it was ba Mune ," handei mainini
ndakubuda " he said.
I didn't want to cause any more problems saka ndakaramba ," aiwa bamukuru tungamirai
henyu handisati ndapedza " I said.
" its OK pedzisai henyu ndokumirirai "
" Aiwa bamukuru tungamirai henyu ndingakunonotsei "
He laughed" kwedu hakuna nguva uku mainini , munozogona kufamba mega here manje,
munorasika ,pedzisai tibude pamwe chete"
Ndakasekawo ," ahh bamukuru handimborasika ini ndakachangamuka wani , endai
henyu sure" vanenge vakazongozviona kuti ndanga ndisingade kwakuzobva vaenda havo
apa vanga vakuda kundipa mari hanzi yetransport nelunch ndikarambisisa. Ndanga
ndapedza saka ndakatombogara hangu pasi ndakamirira kuti ndinzwe kuti vabuda ,
vachingobuda ndakabva ndatobudawo ndichimhanya nekuti ndanga ndatononoka.
Luckily 8 dzakazokwana ndasvika hangu , ndakatambirwa nesmile from Tony ," hesi Tracy "
" urisey Tony " ndakadaira ndichidzoserawo smile.
" unganonoke first day rekubasa here veduwee ?"
I laughed, " kunonoka unokuziva here iwe " akaseka akundidhonza kuenda kwanga kuine
mota yaititakura. Ndakamhoresana namai D nevamwe vaivemo tichibva tapinda
mumota iye takuenda.
Kubasa kwacho yaingova more of socialising nevanhu vataipa zvinhu nekurecorder
information tavaitipa. Nguva zhinji taitongotaura hedu nyaya, tainyanya kushanda tiri 2
namai D Tony achiitawo zvimwe ari 1. Vaitaura mai D ini ndainzi ndinotaura ndaisara pasi ,
apa vaisheedzera futi ," une vana vangani nhai Tracy ?" ndakabvunzwa nguva yataive
tagara tamirira Tony kuti auye tichirongedzera kuuya kuzotorwa na3 dzanga dzataurwa.
" handina mwana ini, ndiri musikana " I said ndichiseka.
" hii Tracy haurevese , how old are you ?"
" ndikusvitsa 29 " she burst into laughter yekuti dai ndaive mumwe ndaitobatikana.
" ahhhh , ini I'm 26 ndine vana 2 first born akutoenda kuchikoro" she said ndikaseka zvangu
," inga henyu , haa ini kuroorwa is not part of my plans "

14
" ko nei ?"
" hapana hangu " I said vachibva vaseka futi. Tony came tikachinja nyaya takutaura
dzimwewo , patakanosara kubasa ndipo pandakazofunga nyaya yangu, " veduwee
mukanzwa kune imba mundiudzewo , ndikuda 1 room chero yekushare nasomeone
musikana anogara ega" I told mai D ndichiti vazoudza vamwe vavo sezvo vaiwirirana
nevanhu vakati ohh.
" ini ndirikutoitsvagawo baba D varikudanana nemwana walandlord vedu ufunge , nxii
ndikatozvifunga ndinotozeza kana kuenda kumba kwacho , apa netsero ikuita dzimba soo
ka , zvakaoma , ndirikuda kutotama hangu." She said ndichibva ndabvaruka kuseka ,
honestly I found it funny kuti just an hour ago vaiseka kuti handina kuroorwa ivo vari
miserable kudaro ,I tried to imagine ndirini ndine murume arikuita shura rakadaro haaa
ndaisiya ndaibatidza imba iyoyo votsvira vese mumba negirlfriend yake nana ambuya
vake.
" mai Dee hamuite " I said vachibva varamba vakandiyeva ," inga mamuchindiseka wani
kuti handidi kuroorwa , ndozvamuri kuda kuti ndiroorerwe here izvi , mmm haa roorwai
mega ini handidi stress no no " I said vakaseka.
" wandiseka wena , zvinowanikwa asikana but tinotombofara " she said.
" iii vasikana mabva matondisvibisa moyo worse , my sister was married to a monster mai D
, my friend is married kurimwewo benzi , imimi so , vanhu vese vari married vane drama
saka haa mukombe wacho ngaupfuure "
" Tracy ka , saka hautodi kuroorwa sure sure?" I nodded," ko saka mukomana wako
munodanana muchiti muchazodii? Wakatomuudza kuti haudi kuroorwa?"
"Handina mukomana ini mai D " I said vachibva vaseka , vaiseka mai ivavo zvekuti
nyangwe usingade kusekawo waipedzisira waseka.
" ndosaka zve uchitaura zvaunotaura soo, hausati wasangana nemunhu anokufonyora,
uchamuwana hako anokudzikamisa , kukupedza bapu rese iro zvekuti tinokushaya kuti
ndiwe waimboganza kudai wanyura murudo " takaseka tichirovana maoko , I didn't
believe what she was saying but matauriro avakaita akandisekesa.
Ndapedza kuseka ndakuda kuvatsanangurira kuti ini handiitwe izvozvo ndakazongonzwa
Tony akutaura ndikashaya kuti anga asvika pataive nguvai , nekuti isu taive tasara takamira
panze iye achiendesa report yemashandiro atanga taita mukati ," muudzei mai D ,
ndikamubata bhoo uyu anodzikama nekutochinja mind ipapo ipapo " we all laughed
ndichibva ndati ," haunyare makuhwa here munhu wemurume " haana kudaira
akangoseka akangonditarisa ndichibva ndatarisa kuside.
We walked home tiri 2 , mai D vvanga vaenda nemamwe mashamwari avo ," mawirirana
ka namai D " he said ndikaseka," she is such a character , you're both characters , mune
dzungu soo " I looked at him ndikamurova.
" ane dzungu ndiani?"ndakataura ndichiseka , it wasn't the first time kuzvidzwa, vanhu
vaigara vachingondidaro but coming from him zvakangondiitira funny ndichibva ndanzwa
kakunyara so.

15
" its not a bad thing handiti ukuona kuti type yenyu haitane kuclicker makutoita kunge
makagara muchizivana, you're bubbly and I like that about you , zvinondiitira soo " I giggled
ndashaya mashoko ekutaura kwakuzoti ," unopenga chete , wawatozviona nguvai munhu
wandakaona nezuro ?"
" I don't know but it feels like I've known you for some time "
I smiled shyly ndichinzwa kamwe kamufaro kandaisakwanisa kunyatsotsanangura , I had
never felt that way before ," unopenga chete Tony " I said kwakutanga kumubvunza hangu
nezve Chimanimani and he promised to take me for a tour someday.
Ndakanosvika kumba ndikatambirwa nanaMune , ndaive ndatovatengera machocolates
ekuti ndisvike ndichivapawo , vakamatambira vachibva vabuda vachiti vakunoita
homework. Ndakangomhoresa mai vacho ndikambogara mbijana navo musitting
kwakuzosimuka after ndofunga 15 minutes of silence.
Rakapera week ndichingoitirwa attitude namai Mune , vanhu vaingotaura neni vana naba
Mune. Zvaitopedzisira zvakuita kunge baMune vakundipa too much attention vachida ka
kucover nepemukadzi wavo which made me more uncomfortable. Zviye zvekuti vanhu
vachidya vanenge vachingoti ," mainini maguta here?" Mainini chakati" apa mukadzi
wavo akandidzvokora neziso rinenge achandimedza. Kubasa ndaimboedza kuvarambira
kuenda navo but dzimwe nguva taizongopedzisira vandimirira.
Mai D vaitiwo vanhu vavavaudza hapana anga anzwa imba yacho so I decided
kutombofamba ndichibvunza bvunza. I called Tony ndiye aigara nechepadhuze kuti auye
andiperekedze ndichizeza kurasika. Ndakangomupa madirections pasina nguva ndikaona
asvika. Ndaive ndamuti anozofona akusvika but ndakatoshama ndakusheedzwa namai
Mune ndikatoshaya kuti vaidei, she treated me kunge I didn't exist zve , we never talked
kana kudii saka ndakatovhunduka.
In a low voice riya rekusvotwa," hameno munhu wenyu ari kugate uko , ini handidi
zvevanhu pano, dzimwe imbavha ndine vana vasikana ndinobatirwa vana nevanhu
venyu , iko manga makutozivana nevanhu zvekutotanga kutsvagwa nguvai?"

16
Chapter 6

N
daida kuvati sorry but ndakatadza kuiburitsa nehasha , zvekuitwa mwana mudiki
ndaisazvida. Ndakaramba ndakavatarisa hangu ndichivatuka nechemumoyo ,
ndimo ka mandaitopedzera shungu , vangaswere vachitsamwira munhu asina
kupinda mugate mavo sure, dai kuri kuti vanga vandiona ndiinaye mumba mavo taiti.
Iyewo Tony wacho manyemwe ake ndakamàshaya , munhu wandanga ndanyatsoudza
kuti unofona wakusvika iye oerekana asvika sure hake. Ndaive ndambomudirector hangu
tichingotaura nyaya imba yacho yaisarasa but kwete kuti munhu anongoerekana anyuka.
Ndofunga vakasvotwa nekuramba ndakanyarara kwandakaita kwakubva vati,"
ndoreason yandinenge ndisingadire vanhu vandisingazive pamba pangu iyoyi.Munhu
wese anongouya nehunhu hwake pano, zvino mumwe munhu kuedza kumuonesa
anoramba akaomesa musoro"
Hunhu hwairehwa ndakahushaya but I knew kuti ndikaramba ndakanyara vaienderera
vachitaura zvisina basa saka ndakabva ndatovacutter," sorry henyu sisi mai Mune,
mukomana wekubasa kwedu uyo arikuda kundibatsira kutsvaga imba " ndakataura
zvakadzikama semunhu aisaziva kuti aizoiwana here imba yacho ndaisada kusiya ndapisa
musha.
" eho but zvekuunza vanhu pano handidi mubva mazviziva " she said ndichibva ndangoti
," ok , ndakumbobuda " and she nodded.
Iye Tony wacho was being interrogated naAnashe iye ari kuseri kwegate achiseka hake, "
makuendepi mama Tracy " kakabvunza kaAnashe.
" ndodzoka manje manje sweetie wanzwa" I said kachibva kangogutsurira musoro
kakumhanya kuenda mumba.
" mwana wako akangwarisa " Tony said achindimhoresa .
" kkkk hanziiko?"
" ndandichiitiswa self introduction " he said ndikaseka ," pakangwarwa kani "
" she takes after you , even malooks "
Ndakafa hangu nekuseka ndichifunga vanhu vaimboita basa rekundifananidza nevana
vabamukuru vangu ," vanhu munonyeperei asi , I'm not related to those kids apa
wakutotifananidza ndozvinoratidza kuti urikunyepa izvozvo "
Akasekawo ," haaa serious here? Pamwe ipfungwa dzangu hameno ndatoona
makandifananira"
I laughed," pfungwa dzako soo "
" dzine system yekuita kuti ndione nekunzwa zvandinenge ndichifunga hant " I nodded
ndichifunga ka musi waaiti vanhu vanga vachiti wakanaka.

17
" asi gulez havana kundifarira ?"
" gulez ndiani ?" ndakabvunza kunge ndaisaziva munhu waaireva.
" momz yepaunogara ka wazoti ndiani wako zviye?"
" murume wavo ifriend yabamukuru vangu , saka ndopandakasvikira "
" hoo OK saka why are you rushing to move out , kuda freedom?"
" zvekugara nevanhu zvinonetsa sha " I said.
" yah sure , unenge uchida kuti muface wako ambouyawo kusleep over chii chii "
Ndakaseka ," unopenga here Tony ?"
" ko ndadii , asi haauye here? "
" hapana kana muface apa"
He laughed," you're not serious handiti , saka waitorevesa zvawaiudza mai D ?" I smiled and
nodded my head.
" ahhh saka wakaoma " I was expecting kuti ataure zvakawanda , kupawo maviews ake
zvizere like most people did but akabva atochinja nyaya," ko saka urikuda kubvirei
zvekumhanya mhanya kudaro ,waizongobuda ka month end"
"kugara pamba pausingadiwe ma1 shaa"
" pakaipa saka, dai ndaigara ndega waingouya woita roomie wangu , ini ndinotonakidzwa
nekugara kudzimba dzevanhu manje , kana ndiri kuno soo haa zvinenge zvichifaya "
" kkkk ndisiye hangu handidi roomie anenge iwe ini, saka unogara nani kuno? "
ndakabvunza nekuti all along I thought kuti anogara ega.
" nagogaz vangu muroora wamama"
" asi sekuru vako vanenge vasipo kani wasiirwa mukadzi because tauriro yawaita kuti
unoda zvekuno ka haisi yega , sekuru vako undipe number dzavo ndivaudze kuti mukadzi
aenda naTony " I said tikaseka.
" sekuru variko manje plus nyangwe vasipo mukadzi wavo muquiet she is not my type
ndoda munhu ane dzungu sewe so, kumba kwedu kune vanhu vanobhowa chete
ndosaka ndisinei nako " ndakaseka hangu trying to ignore what he had said , I was feeling
shy but ndichinakidzwa ne the fact yekuti aifarira kungonditi ndine dzungu.
Phone yangu yakabva yapinda message yaTrish," nhaiwe ndiri kungoramba ndichishaya
mari mumba kana ndiwewo "
" kkkkk wachembera shaa hanganwa dzakuwandira" ndakadaira ndatomira kufamba.
" ndingakanganwe zvekudaro here veduwee , ndatove worried unoziva "
" bvunza ka vana , ini asi ndinombozviita kutonganwa pandinenge ndaisa mari
ndozongoerekana ndasangana nayo ndatovarairwa." Ndakatumira message phone
ichibva yabvutwa naTony , " urikuda kudonha here iwe , ndini ndakuichengeta nhasi
ndozokupa wakuenda nekuti hauna discipline "
18
Ndakaseka ndichida kumubvutira achibva atoyiisa muhomwe. Ndaisada zvekukikiritsana
naye saka ndakamusiya hangu ainayo because maitiro ake ndanga ndatomaona kuti
ndeemunhu arikutsvaga kumhanyisana neni.
Takatenderera kusvika ndaneta pasina kana patapihwa promise zvayo. Ndanga ndakuda
kutodzokera sezvo time dzanga dzafamba kwakwatove kuma5 paakazoti ," handei apa
yaimbonzi iripo " ndakatofara nekunamata nechemumoyo kuti zviite ndishame tuvana
twaivapo twakumumhanyira.
" makadii henyu " twakadaro tuvakomana tuye twakadaro iye atove busy kukicker bhora
raitambwa nevana ivavo ndichibva ndaziva kuti pamba pavo. Apa munhu anga angouya
neni tisina kubvumirana.
Ndakanyaririra ndichienda paveranda paive pakagara vamwe mai vachisekerera , "
makadii henyu " I said.
" ndiripo hangu wakadiiwo "
" anonzi Tracy uyu gogo , Tracy ava ndigogo vangu. Akutsvaga imba ka , hamuna kwamuri
kuziva here?"
Vachiseka" konyaya dzacho dzinotaurwa hobho ka1 here nhai , munosiya ka tomhoresana
zvakanaka nhai bamwana , tafara nekukuzivai asikana " she said ndichibva ndangotiwo ,"
tese "
" urikuda marooms mangani pane pandakambonzwa pamusoro apo "
" 1 " I said.
" manje mai vepo vanononoka kudzoka kubasa , hameno unokwanisa kumira kusvika
ndofunga kuma half 6 to 7 ndopavanosvika" I nodded ndichibva ndatomboigirwa
mascone nedrink naTony ndikadya ndakamirira half 6 dziye. Ndainyatsovatarisa ndichida
kuona huquiet hwaitaurwa na Tony, she wasn't talkative vaitaura soft kunge vaisada but
she was nice , wainyatsoona kuti munhu anofara. Taitotaura nyaya kunge tozivana isu
taonana musi iwoyo.
Padzakakwana half 6 takabva taenda kwamai vairehwa vaye. Takasvikirana navo
pagate pavo tichibva tangomira ipapo , sadly imba yacho yainzi yakatowana munhu
nezuro wacho saka hatina kuzombopinda.
" ndinokunzwira don't worry , kungoti dzimba dzacho dziri kunetsa mazuvano chete but
dzinombowanika hadzo , ndikangoiwana ndoudza iyeyu okuudza " she said patanga
takuparadzana.
" maitabasa gogo" ndakadaira ndakuda kufambisa kuti ndichienda kumba sezvo kwaive
kwatosviba. Paive nekadistance zvekuti patakazosvika dzaive dzatove kuma to 8
"chimhanya ndirikuda kusiya wapinda mumba, unosara ka ukanzi dzokera kwawanga uri
ndaenda ukarara panze" Tony said time dzandakapinda mugate achibva andipa phone
yangu yaanga azoswera nayo sure.
I laughed," size yangu manje ?"
" size ine basa rei ?"

19
" ndamunhu mukuru ini handichaitwa zvese izvozvo, nyangwe ndikanzi ndidzokere
kwandanga ndiri ndodzokera muroad ka mandanga ndichitsvaga imba"
" haaa hazviitike ndiripo , ndendakutongokutora ndoenda newe, chipinda mumba mhani
" he said ndichibva ndamuwaver ndakumhanya mumba.
Door ranga risina kukiiwa but bamukuru vanga vakagara havo vega ," maswerasei
bamukuru " I said .
" murisey mainini "
" ndiribhoo , ko vamwe varipi ?"
" ahhh vatorara ava " ndakanzwa kuda kuseka when he said that , usually vairara kuma9
musi uyu kwaitova kukasikira kuti ndinyatsobuda huipi hwese.
He went on, "manonokawo nhasi mainini " vaive vajaira kuti ndaisidzoka kuma 5 ndichibva
kubasa , either taidzokerana or vaisvika ndichangosvika plus munhu munyowani
munzvimbo vaitoti pamwe ndarasika. Mai Mine l ndaive ndavaudza hangu but kuti vaive
vavaudza here or kuti vaive vangonyarara ndaisaziva so I decided to explain.
" sorry zvenyu , ndanga ndichimbotenderera ndichitsvaga imba saka ndazodelayer
ndakamirira muridzi wepamwe pamba panga pachinzi pane imba "

He laughed, " mukundinyepera mainini hanzi manga maenda naTony " ndakaseka," ndiani
adaro ?"
" Anashe "
" kkk Tony anga achindibatsira kutsvaga imba "
" kkkk ok but mungabva matsvaga imba kusvika this time kuti zvanyanyodii ,
ndatombokufonerai mukasadaira , ndanga ndatove worried ,saka maiwana?"
" sorry zvenyu nekupinzwa busy ,phone yacho hainzwike iyi ndosaka ndichiwanzogara
ndakaibata kana iri muhomwe soo unozongoona amamissed call. Ndapotsa ndaiwana
kwakusvika zvichinzi yakapindwa nezuro nhai " ndakanyepa zvangu.
He laughed ndokuti," better "
Ndichishamisika nekuseka zvese" ahh bamukuru better chii ?"
Vakaseka futi kwakuti ," munoda kutitizirei , ndakanzi nababa Tinashe ndikuchengetei ,
munoda kuti vati ndakaipa ka "
Ndakashaya zvekuvapindura ndakangoseka vachibva vazoti," amangwana mainini ,
ndakunorara manje moyo wangu wagadzikana"

20
Chapter 7

M
angwana acho before going to church ndakamukira kubvunzwa kuti ndaive
ndaiwana imba here and she was dissappointed when I told her kuti handisati.
We went to church kwavo tese ndichingointroduswa naba Mune samainini
munin'ina wamai Mune. Ndakatoshama ndakuona kuti vaigona kusekerera kudaro
kuvashaya kuti ndivo mai Mune vaigara vakakwindimara.Tichidzokawo kumba
vachidzokera mumood yavo.
Mazuva aifamba and everyday that passed raindipa pressure yekubva pamba pamai
Mune but imba ichishaika. Taiti kana ndabva kubasa totenderera naTony tichitsvaga imba
, mai D nagogo vaTony ndichivapawo pressure yekutsvaga. The more yandaipihwa cold
shoulder namai Mune , ba Mune vaibva vawedzerawo attention , ndikaitwa rough namai
Mune then he would try to comfort me.
Kuvepo kwangu kwaiitokonzeresa mafights mumba mevanhu and zvanga zvakutobhowa,
kanhu kadiki diki wainzwa vanhu vakutonetsana and zita rangu rotopinzwawo munyaya.
Pamba pacho paisagarika so ndaitoyedza nepandaigona napo kuti ndisagarepo nguva
refu. Nguva zhinji ndaipedza hangu ndiina Tony , ndiye wandaitoverenga semunhu
wepedyo namai D. Mai D vaizongobhowera kuti ukaenda kana kumba kwavo vanenge
vachingodemba chete nezve murume wavo. Try to give her advice vanenge vasingaide
vanenge vatori nedzavo plan dzakadhakwa kare apa vachipedza izvozvo votanga
kukuudza kuti ndirikuda kukurongera muface uchiroorwa.
Mumwe musi takabva kubasa achiri masikati chaiwo and the thought yekunopedza zuva
namai Mune yairondipa stress. Tony kumunyengetedza zvekunotsvaga imba anga asisade
kana kuzvinzwa hanzi ," chingomirira monthend shaa , panobuda vanhu paye
ndopangatowanika dzimba "
I tried kuyemererawo kuti ndinzwikwe ," Toony " I said ndichidragger zita rake achibva
aseka.
" hapana chaunomboyema apa , ndaneta nekungodzengerera everyday pasina chimuko
ahh "
" munhu wemurume haaite give up that easily shaa"
" ahhh 2 weeks dzese woti easily here amana, next week yatomonthend tochinyatsoita
serious manje " matauriro acho aitonyatsoratidza kuti haasi kuda.

" Tony dai uchiziva hako kuti kumba kwedu kunobhowa sei ka , taitombowaya waya tese
sure "
" kkkk kunombonyatsoita sei chaizvo ?"

21
" ungade kugara nemunhu anonyatsokuratidza kuti haakude? Usatambe nekuitirwa
mamoods daily iwe mumba macho munotorema so" I said.
" handei unotandara kumba kwedu ka, hakuna anomudhura ende hakureme "
" mmm Tony " I said but I was actually considering it , ndaitoona kunge zvirinani pane
kunoswera namai Mune.
" chii , tetingori 2 , gogo vari kubasa team ririkuchikoro , hakuna kana pressure uku," he said
ndichibva ndazongobvuma. Takasvika ndichibva ndaigirwa food tikadya tichitaura hedu
nyaya tikapedza tikanosuka tese, tikarongedza kwakuzodzokera kunoona TV. For the first
time kubva ndiuye kuChimanimani I really felt at home, mumba macho maitongove
nekawarmth so.
" movie haisi kunakidza iyi " he said after sometime.
" sure haa yakadhakwa " ndakadairira achibva aseka ," saka wanga wakanyararirei nguva
yese iyi nhaiwe?"
" ndiri muenzi ka nhai , ndakadzidziswa kuti muenzi haachinje machannel "
" unopenga chete iwe" akatora remote kwakuenda kumachannel ese kwakuti ," haaa
hapana kana kuri kuitwa chinonakidza apa , its better titambe hedu FIFA "
" ahh unotamba wega hako , game rinobhowa riye " I said , raindibhowa richiswererwa
naTawanda naPrince kumba kwedu.
" haaa hausikuziva shaa , huya titambe kani " aitaura akutoconnector laptop
nemajoypads.
" ukutamba wega Tony , ini pabhora handina kana chandinoziva ini , ndongoziva kugohwa
kwebhora chete , nakeeper narefree nevamwe vemumaside vaye vaye the rest
handitozive kuti vanoita nezvei "
" ndokudzidzisa zve nhai " he tried kundinyengetedza ndikarambisisa.
" horaiti , chiuya titambe Need for speed kana usingade bhora "
" kurikuda kutamba chete here nhai Tony , ko tikangotaura nyaya nhai?"
" handina nyaya ini dzapera " I laughed ndokuti ,"chiisa horaiti but unototanga
wandidzidzisa."
Akaita ita zvinhu zvake zvichibva zvatanga kubuda paziTV ravo," huya ugare apa " he said
kwakutanga kundiratidza zvekuita nemajoypads acho , ko ndaimboziva zvekuita nawo
here , kumba kwedu games were for boys isu chedu kwaive kuita nyaya namama chete
nekuona Zeeworld.
Ndakasarudzirwa mota tichibva tatanga kutamba , hapana kana chandaiita
ndaingopera kudhumhira kusvika azoseka ," haaa hapana zvatiri kuita apa ,zvakasiyanei
nekutamba nhodo neECD , ndodawo competition zve nhai amana "
Ndakaseka ndichikanda majoypads aye pasi , " ndakuudza ukaita nharo "

22
" hazvinetse chiuya tiite team , buruka tigare pasi " he said ndichibva ndateedzera ,
ndaisatoziva zvaaida kuti tiite zvacho. I became conscious paakaerekana auya kuseri
kwangu , agara akandiisa pakati pemakumbo. I really can't explain zvandakanzwa but
ndakaita kunge ndabatwa nechiveve muviri wese kusvika kuzvigunwe zvese zvekutsoka
nezvemumaoko.
" ko chiiko iwe , ukuvhundukei " he said ndichibva ndatura mafemo.
" koiwe unongoerekana wangogara kumashure kwangu ndakavarairwa seiko nhai?"
ndakataura zvekuvavarira ndichizeza kuti anzwe kuti voice racho raiinzwika kakushaker, ini
wo ndaitozvishaya kuti ndanga ndavhundukei kudaro.
" ahhhh ayha iwewe so " that's all he said achinyatsoswedera padhuze nekuunza maoko
ake kumberi kwangu kuti tibate tese majoypads , I wasn't feeling comfortable hameno
zvandaitongonzwa zvekuti kuyeva kwandanga ndakaita TV hapana kana chaipinda
kwakuzoenda ndichirelaxer mbijana mbijana nekujaira kwakuzotanga kuconcentrater
negame. Bit by bit ndaiita ndichijaira kupedzisira ndakunakidzwa , tikahwina ndichibva
ndafara. I got carried away kukanganwa kuti kunze kunei kwakuzovhunduka gate ravo
richivhurwa ndichibva ndajamba kusimuka pandaive ndakagara , I just felt like it was
wrong.
" ko uri kujambeiko kudaro nhaiwe " Tony said laughing apa ndaive ndatogara pasofa ndiri
serious kunge ndaive ndakagarapo nguva yese iyi.
" ehhh mauyawo nhasi kuzotiona ka asikana " gogo vake vakataura vachingopinda
padoor ndichibva ndaseka ,' murisei gogo ?"
" ndiribhoo , ndaitokubvunza musiuno kuti koTracy akazowana imba here zvikanzi hausati
,week ratakupinda iri haa zvinogona kuita "
" I hope so " I said finding it sweet that she remembered my name." madzoka nguvaiko
matove pamagame ?" she asked vachigara pasi Tony achibva ataura.
" saka better nhasi Tracy anotombondibikirawo ndakazorora " ndakavatarisa ndichiseka
ndichiti vaitamba ka ndichibva ndanzwa vakutoenderera ," iwe Antony muratidze poto ine
muriwo uye wandasiya ndaboiler aise soup , unongobika rice Tracy , mufridge mune
mamixed veggies necabbage , hameno unongoonawo zvekuita ikoko ini
ndakutombozorora hona kuzvimba kwakaita makumbo angu "
Ndakashaya marambiro ndichibva ndatongosimuka ndakunoita zvanga zvarehwa .
Ndakanyatsoisa moyo wese semunhu aive kumba kwevaridzi ndikabika ndakarindirwa
naTony. Ndakapedza ndikavasheedza kuti vapakure vakaramba havo ,
ndakazongokuturira mumaserving pots andakangoinawo ndikanogadzika kudining
tichibatsirana naTony , sekuru vacho vachibva vasvikawo.
I greeted him mukadzi wacho achibva ati ," Ndosekuru ava Tracy , ba Tadi ndiye Tracy uyu
" he smiled warmly and said ," ahh hesi kani Tracy " ndikasara ndichizvitongesa kuti
ndaimbozivikanwa nezvei?

23
Chapter 8

N
dakasekerera ndichivadaira sekuru vaTony kwakuzonopedzisa kutora maplates
kuuyisa patable. Gogo vacho vakandiseka kuti ndanga ndaramba kupakura
kwakuzopakura hanzi vanhu ava havasi vekusiya vachizvipakurira vega nekukara
kwavo. Murume wacho akabva asekawo ," imi tisiyei kani timboitiswa chirungu naTracy" I
really felt welcome mumba umu vese vaitonditreater kunge munhu wekuziva or maybe
hama chaiyo. We had our supper pachitaurwa nyaya nekuseka kwakuzoperekedzwa
kumba tapedza kusuka , vanga vamboramba gogo vake kuti ndisuke vachiti
ndaizononoka kumba but ndaive ndakunakidzwa neko zvekuti kumba ndanga ndisisina
kana basa nako.
" ko sekuru vako vanondizivira kupi nhaiwe ?" I asked Tony tichangobuda, nyaya iyoyo
yanga yandiitira funny.
" vati vanokuziva here ?" akaseka achida kutiza nyaya.
" ahh tauriro yaita gogo kuti ndiye Tracy uyu yatoratidza kuti vakambonzwa nezvangu ,
waindinyeya ka saka " I said ndichiseka.
He laughed, " ndiye Tracy wekutsvaga imba zve "
" Tony ka , maivaudza kuti vanditsvagire imba here ?ukunyepa hameno zvamaitondinyeya
kumba kwenyu"
" Tracy unonetsa , handiti vaingonzwa tichitaura nezvako nagogo here"
" zvamaitaura zvacho ndozvandiri kuda kunzwa zvamaitaura zvacho " I said , kuramba
kuzvitaura kwaaiita ndokwaiita kuti ndide kuzvinzwa .
He laughed ,"wakuda kutozviita celeb handiti, tingataurei kunze kwekungoti pane
musikana anonzi Tracy akanaka arikutsvaga imba" he said ndichibva ndamurova mbama.
It wasn't like I had never flirted before ka, ndaimbo flirter nevakomana hobho , kuchikoro
nekupi but naTony zvaibva zvaita hameno hameno , zvaitonyatsonakidza and I didn't want
him to stop.
" ibvapo " I said tichibva tatanga kumhanyisana parima ipapo apa pari pamukwidza futi.
Takambokikiritsana tichitamba chikudo tichiseka kwakuzotanga kufamba kuenda kumba
tichinyatsonanaira , I enjoyed his company zvekuti ndanga ndisisade kubva padhuze naye.
Takasvika pagate pedu kwakumbomira hedu tichitaura futi , apa hapana chisvinu
chataitaura kunze kwaingova kusada kupesana chete , senge ini ndikatozofunga mai
Mune ndaibva ndatoita weak. Ndakamirirwa futi pagate kusvika ndapinda mumba
achibva andiwaver and I waved him back with a smile murima imomo.
I opened the door slowly , musi uyu vanga vakagara vese mai Mune naba Mune vana
ndivo vanga varara. Smile yandakapinda ndiinayo faded ndaona serious yaive paface
pamai Mune ," maswerasei " I said ndichitarisa phone yangu ndichiona dziri 10 to 8.

24
" murisei mainini " ba Mune answered.
Ndisati ndadaira mai Mune vachibva vati ," asikana ngatizivei nguva dzekusvika pamba ,
isu totokumirira mañje kuti utange wasvika tozowana kurara ?"
Iniwo ndanga nafarisa naTony kukanganwa nguva hedu , ehe pamba pacho paibhowa
but ndaida kubva zvakanaka ," sorry sisi mai Mune , ndirikupota ndichimbotsvaga imba
ndapedza kubasa " I lied kuti ikasire yapera nyaya yacho.
"Saka waiwana imba yacho ?" I shook my head " vachibva vangosimuka vachienda
kunorara.
" sorry henyu mainini " ba Mune vakasara vachitaurawo, ndohwanga hwave hunhu hwavo
kuti pakangotaurika kanyaya ivo vaibva vasara vachikumbira ruregerero.
" ahhh ndazorivarawo ndikanonoka nhai , sorry " I said.
" kkkk mamuina Tony?"he asked.
I laughed ," Tony ndiani ?"
" hameno ka iye munhu akuita kuti mudhure kudaro, isu vamwe tichambokuzivai here ? " I
stood up ndichiseka ," ndakunorara ini , toonana mangwana"
" makutiza ka " he said vachisimukawo vachiseka.
Ndakatora food yangu ndikadya , kwana Tony ndanga ndadya semuenzi plus ndanga
ndatosiya space yekumba nekuti kusadya yaive imwe nyaya kunzi makundirasisa chikafu.
Ndakasuka maplates then took a bath nekumbonyatsozvitarisa pamirror kuda kuona
kunaka kwaingotaurwa naTony kwakuzonorara hangu. Ndaitongove neka system
kekutanga ndamboenda pawhatsaap ndozorara plus usually manheru iwaya
ndopandaiwanzo wana mukana wekunyatsogara ndisiri busy nezvimwe zvinhu.
" hauna kudzingwa pamba here ndiuye ndikutore " Tony texted time dzandakangoenda
online.I found myself smiling ," ndozvamanga mafurirana nambuya vako kuti mundibikise
ndigononoka kumba ndidzingwe? Manje madzva" I replied kwakutanga hangu kuseka,
kutaura naTony kwaindipedza stress zvese zvana mai Mune ndaitombozvikanganwa.
" uchadzingwa chete mira uone , hanzi mari yedu ikuuya mangwana"
Masmile akabva anyatsowedzera ndakurongera mari yangu , tainyatsoita yekupihwa
mumaoko ari maUS saka ndainyatsoziva kuti ndinenge ndakapinda, " sure here ?"
" yah ndaudzwa nereliable source "
" ndotomboenda kumba kwedu " I said , ndaida kumbonofurwa nemhepo ,
ndimbosuduruka pamba pamai Mune.
" toenda tese saka usazonditize "
Ndakasekenyeka ndega ndichibva ndangoti ," iribhoo "
Ndakaenda kuchat rasisi vangu ndikashama kuona dziri online time idzodzo ," mukadzi
waDee " I texted.
" Kkkkk hesi "
25
" ukuitei online nguva dzino ?"
" ndiri kutaura naDee " she said ndichibva ndaziva kuti vanga vasipo bamukuru.
" hanganwa dzakapera here?" I said , musi uyu ndaisada kutaura nyaya dzana mai Mune
, dzanga dzakutobhowa.
" iwe , I changed pekuviga mari handiti haichashorter but ndakushaya zvinhu mumba ,
ndakashaya watch imwe yandakatengerwa naba Tinashe kare so, musiuno kwakushaya
set yemacannister anga achiri mupaper ndisati ndatombo mashandisa "
" Kkkkk asi mane chipoko mumba menyu? "
" futsek mhani , I think panogona patori nezvinhu hobho zviri missing especially mukitchen ,
iwo macannister aya dai pasina kuti ndaida kumapa mai Thandie ndaigona kusatoziva kuti
haamo "
" mai Thandi vemakuhwa?" ndaidiverter hangu nyaya but ndaive ndakutonetsekawo kuti
chii chaiitika kumba kwake.
" Kkkkk ehee, ndovarikundibatsira nevana mazuvano "
" saka pamwe ndivo vakatora zve"
" aiwa ivo vakatotanga kuuya musi uno uyu ndatogara ndichishaya zvinhu " she said.
" ehhh saka ndiani ?"
" I think ndiTinashe and I'm scared" kana neniwo hana yangu yakarova , Tinashe had always
been a good child .
" ahhh Tinashe??? Daddy vacho vakatii?"
" ndakangovaudza zvemari and he thinks ndakaimisplacer , zvimwe izvi nezvekuti I suspect
Tinashe handina kutaura ini but angaite ani because tinongogara tega ka vadiki ava
havangamboite izvozvo Taku ari kuchikoro."
I sighed," iye wakamubvunza?"
" zvemari ndizvo zvandaingombotaura senyaya hangu but at that time ndandisati
ndakumufungira nekuti haawanzopinda mubedroom , izvi handina kuzombomubvunza
ndiri kutozeza "
" Trish ka ,mubvunze uzive zve nhai ukanyarara zvinoramba zvichingoitika unenge
wagonei?"
" iiii Tracy shaa zvinonetsa izvi , hazvizoite kunge ndiri kumufungira , handizoite kunge evil
step mother here? Ndikutozeza kana kuudza baba vacho vanogona kuzoti handichada
vana vake , ndiri pama1 soo "
" I know that you love those children just like your own and baba vavo vanozviziva futi.
Kunyarara ndokutomuitira hutsinye kutaura naye ndokutomuda manje, kana ari iye moona
kuti momubatsira sei "
" hameno Tracy " she said

26
Chapter 9

M
angwana acho kubasa everyone aive mugood mood , zvaive zvatofamba kuti
mari irikuuya. Ana mai D vakaswera vachitoita kabudget zuva rese ndikapedzisira
ndaseka ," maimwana kamari aka ba D ndotongonovaratidza ishoma imwe
ndotswinyiridza ndozoitawo maplans angu " ndakaseka ," vanhu imimi makarambana asi
munongogara henyu mese , imba rudzii iyoyo yekungovigirana zvinhu nhai ?"
" ndikaiburitsa yese iye yake haichatobude and handitoiburitse nhasi ka ndotombomira
kutaura kuti ndapihwa mari " ndakanyatsoseka hangu ," mmmm nhai vasikana imi
munopenga chete , ndosaka vachivigawo yavo handiti imi munovigawo yenyu? "
" haiwa chete iwe haungambozvinzwisise hako but kana ndatoti haibude haitobude chero
mukatoshaya hupfu mumba ndotomirira kuti aburitse yake "
" yoh , haa itai henyu mega zvedzimba dzacho "
She laughed, " ukanzwikwa naTony unorambwa iwe "
" Tony? ndisiyei hangu ini " I defended myself .
" kukusiya kwei, tetichikuonai hedu"
I laughed," muchinoneiko , tinowirirana naTony takaclicker plus ndiye munhu wandiri close
naye kuno besides imimi that's why tichizongogara tiri tese so" I said.
Vakaseka zvavo zvenoise kwakuti" ahhh hoo " vasati vataura zvimee akabva aerekana
asvikawo Tony wacho tichibva tangoseka takuinyarara nyaya yacho.
On our way home ndakapfuura ndichitengawo tunhu twekumba semunhu anga
atambira. Kwakumbotengerwa tengerwa tumwe naTony hanzi ungazofa usina kudyawo
mari yangu. Kumba ndakanosvika ndichitambirwa nevana and for the first time
ndakatombonzwawo mashoko akanaka kubva kuna mai Mune though akataurirwa pasi
pasi but zvakanzwika kuti vaiti maitabasa.
Friday ndakatobva kumba nekahembe kangu mubag kekuzochinja tikatiza hedu basa
na11 naTony wangu takumboenda kumba. Ndakamboshingirira kufamba ndichiudzwa
nzvimbo naTony but shave rangu rekurara mubhazi rakandibata tisati tatombosvika kure
ndikarara flat kuzomutswa tamuMarondera. Ndakatoita zvekuvhunduka hangu Tony
achindishaker mbijana mbijana apa ndakanyatsobatwa zvakanaka naka in his arms ,"
nhaiwe kurara kwekupi kudaro uchafira nenzara kuhope " I smiled faintly
ndichinyatsobatanidza zvaiitika achibva atanga kundigadzira weave yanga yauya yese
kumeso achiidzosera kumashure.
" takupi ?" I said.
" Marondera " he said.
" mmm ndarara saka ahh " ndaitaura ndakubva mumaoko ake ndichigara zvakanaka.

27
" uri dahwa , hauna nzara ?"
" ndoda apple " I said achibva asheedzera vakomana vaitengesa kuti vauye padhuze
akatenga maapples aye kwakundigezera and gave me one.
" ndipoo" he said paakaona ndaruma rangu yet iye anga akabata tsapo yawo ," toraka
rako nhai " I said.
" handiripedze ingondirumisawo kadiki " I laughed ndichibva ndamurumisa ka 1
kwakukumbira kechi2 kusvika tatozoripedza tichingochinjana kudaro.
Patakapinda muHarare ndakatanga ndanokwidzwa kuenda kuKuwadzana iye achibva
azoenda kwavo. Kutozotanga kumufunga ndichitori mukombi , ndanga ndatojaira kugara
padhuze almost everyday nguva yataisave tese manheru chete.
Ndakasvika kumba mama vakatoshama ndandisina kuvaudza hangu kuti ndirikuuya ,
nguva dzanga dzafamba plus ndanga ndaneta saka handina kumbotandara nevanhu
sterek ndakabva ndatongonorara. Chainge chakutonditadzisa kurara kumirira message
yaTony , ndanga ndatojaira kuti tinotaura tisati tarara zvino musi uyu aisatobatika. Last seen
yake yaive yetime dzaaindibvunza kana ndasvika bhoo.
Mangwana acho Trish nemhuri yake vakafumouya kunge vaivinga muenzi anoshamisira,
vakangouya vachisiiwa nemota bamukuru havana kugara hameno kwavaitomhanyira.
Tumatwins twake twatwatochinja wena from the last time I saw them. Takatandara
ndichivarondedzera dzekwamai Mune tichiseka hedu vese vachingoti the best way was to
move out. Mama kutozoita vachivadefender hanzi hauzive mareasons avo. Trish wo
aingopenga neyekuti arikushaya zvinhu asi achiramba achingosimbirira kusada kubvunza
Tinashe or kuudza baba vacho ndikazvishaya.
Often I would find myself looking at my phone kuti pamwe mapinda message from Tony
but maive musina chinhu. Mama vakatozozviona wo ndakanzwa vakuti ," hanziiko
nephone iyo nhayi asi murikushanda paphone ?" Takaseka ndichibva ndati," kana "
" kana kuti urikutaura nemukuwasha "
" matotanga ka mama " I said vachibva vasimudza mapendekete ," yuwi ndatanga kudii,
kungotaura hangu nekuti ndaona kuti phone yacho ukuida chaizvo. Asi
handichatobvumidzwa kutaura nezvemukuwasha kani , handina wandamboti roorwa ini ,
makutongogara makanditeya henyu " she said vachiseka havo but I knew kuti
nechemumoyo vaida havo kutozvitaura.
" haiwa nechemumoyo mukutoti iwe Tracy chiroorwa apa "
" obvious ndotonetseka nechemumoyo but handina wandichaudzira hangu , Lewis
akandidzidzisa chidzidzo " takabvaruka tese kuseka , Lewis was my sister's ex husband.
" kana ini akandidzidzisa chidzidzo handidi kana kunzwa nezvekuroorwa futi " I said.
Vakaseka havo mama ," haiwa ibvapo ,asi iwe unenge unotomboda kubikirwa doro chete
ahh , kana kumbouya uchitaimirwa kana 1 day zvaro , Trish ndaimboona vanhu vachiti
mvee mvee paroad apa ndotoziva hangu kuti vanhu vake zvinoiwe zero zero chaiyo ,
kusara kwaiye uye wekutengera Naledi cotbed achibva azongodisappear" takatarisana

28
naTrish tikaseka hedu sezvo munhu wavaitaura aive wefake watanga tagadzira naTrish
tichicover madhiri ake, cotbed yacho yanga yatotengwa nababa Tinashe but zvaisaita
kuudza ana mama.
Sekero yatakaita yakatibatisa ," mukusekeiko kudaro , kubva maita kunge makuseka ini
kudaro?"
Manyemwe akandibata ndichibva ndati," yakatengwa naba Tinashe iyo" ndichibva
ndatanga kutswinywa naTrish.
Mama vakangoshama kwakuzoti," asi vana imi hamushure? Ayha handichada kunzwa
hangu zvakawanda ende munopenga chete ndosaka ndakuti iwe unoda kumbobikirwa
doro , wakutongoteera matsimba aTrish"
I laughed, " haa ini chero mukabika doro hazvishande mama , handina matsimba andiri
kutevera because zvekuroorwa zvacho ndakatogara ndazvikanzura" vakaseka havo
vakuedza kundiudza kuti not all marriages are bad but kwandiri zvaisashanda.
Ana Trish vakazouya kuzotorwa kumazuvarodoka vakaenda ini maziso achingotambira
kuphone but kusina chimuko.
Sunday ndoyatanga tataurirana kuti taidzokera but since angaasingawanike ndanga
ndakutongofunga kudzokera hangu ndega. For some reason i found myself angry , kana
kuti ndauya kumba kuweekend kuzopombonoka hazvina kuzomboshanda
ndakungofunga zvaTony. Kungofunga kuti anga andikanganwa zuva rese
kwaitongobhowa.
Ndaida kurara ndarongedza kuitira kuti mangwana ndisazononoka so I slept late, apa
ndaive ndaronga kutakura zvinhu hobho kuitira pandaizotama. Ndaida kutotakura
mablankets nei nei kuti ndisazoburitse mari ndichiti ndine anondibatsira kutakura but
ndaive ndakutofunga kuzvisiya when I received a call from him isina kumbomirirwa kuti
ndidaire," hesi unondimirira pafoodworld paye padhuze nepa Coppa cabbana kuma 10
handiti "

29
Chapter 10

N
daive ndakamutsamwira Tony but paakafona I actually felt better kwakupedzisa
hangu kurongedza. Ndakatonzwa kunge ndabviswa zimutoro chairo , talking to him
had this amazing effect on me , aive munhu wandaikwanisa kuve free kwaari , I was
really myself when I was with him and that was what made him a special
friend.Ndakanyatsotakura zvese zvandaida sezvo man power yanga yavepo ndichibva
ndatonotora neka gas tank kadiki kandanga ndapihwa namama.
Makuseni ndakaperekedzwa nadaddy vachibva vangonondisiya pafoodworld panga
parehwa kwakutoona Tony akamira nechekure smiling hake achinditsonya wanike
ndakungopfipfinhika zvekuti daddy vakatombonditaria, " haukure seiko Tracy " he asked ,
zvaisava hazvo zvinhu zvaishamisa semunhu aigara achingonzi akapaparika kubva
pahudiki.
" ahhh pane zvandafunga kani daddy " ndakataura ndichizvimanikidza kurova serious. He
shook his head ndofunga mumoyo vachingoti ane benzi ndeanerake.
Akamirira kuti daddy vaende kwakuzouya ," hesi kani Tracy " he said smiling ndichibva
ndapfundumwara ," weekend yese kana kuwanika hanzii ko?" I asked.
" pane zvandaigadzirisa shaa ,I was very busy kutoshaya nguva nephone hangu" he said
akutotakura bag.
" zvei Tony ? " I said I felt like he owed me an explanation.
Akabva amhanyira kutiza nyaya akuti ," asi wanga wandisuwa 1 day irori?" I giggled and
answered ," kana ndaingoshaya kuti chii chaitika kumunhu uyu, ndokuziva whatsapp
unoida asi woswera zuva rese kana kumbobatika haa hazviite "
" ndandiriko hangu pane zvinenge zvichiitika chete ma2 minutes "
I laughed," zvipande munozviwanza ana Tony ,asi une chikwereti chemunhu ?"
" something like that " akadaira achiseka hake.
" saka munhu akabva kutambira unoomera kubhadhara chikwereti sei?"

He laughed ," nyangwe ndikatora mari yangu yese ye3 months haikwane , chikwereti
ichocho chinotoda human sacrifice " I laughed ," hiii ndakutokutya Tony "
" kkkk usatye hako you won't be the sacrifice , handei titsvage taxi tiende "
Takatora taxi iye tikanosiiwa kuna Fourth munhu kwakumbonditiza akanodzoka ane box
repizza nemadrinks , I didn't like pizza but iyi ndakatongoidyira kuti yanga yatengwa
naTony. Musi uyu ndakambodhonza ndakasvinura ndichitaudzwa nyaya kwakuzotanga
kutsumwaira takusvika maRusape ," haaa iwe hope dzako soo , if I didn't know better I'd
say you're pregnant "
30
Ndakaseka taurirwo yacho yazvaiitwa naTony ka apa achindizunza zunza kubva
pashoulder rake pandanga ndazembera," ndaiwanepi nhumbu nhaiwe, asi inowanikwa
musadza kani"
" ehe" he said ndikaseka.
" manje handidye sadza ka ini "
" haaa wakasara shaa sadza rinonaka " ndakabva ndatizisa maziso angu nekuti anga
akunyatsotaura anditarisa apa aine kanaughty look.
Ndichizvimanikidza kurova serious ini ndichida hangu kuseka" idyai mega" I said.
" ko sei usingadye ?" Tony wacho aisada kusiya nyaya iyoyo it seemed as if he was enjoying
my reaction nekuti airamba achida kunditarisa mumaziso.
" rinorwarisa " ndakazvimanikidzira kutaura ndichiti pamwe ndokuti ipere nyaya yacho. Iye
akabva atowedzera kuseka ," Pamwe wakadya mbodza ndosaka wakarwara " I looked at
him and said ,"ndamboti ndakaridya ndikarwara here or ndati handidye, handitoride ?"
Akabva anyatsonditarisa kwakuti ," asi
wakamboridya?"
I pushed him away" ahh nhai Tony" ndichiratidza kupererwa.
" I'm just asking "
" siyana neni mhani ahhh " ndakataura nevoice rakazara nyadzi. Akangoseka achibva ati
," ahh Tracy , " kwakuseka futi ," ndakusiya but chirega kurara ahhh handidi kufamba
nemunhu akarara ini"
"unenge uchida kuti ndisvinure sei inzwa music iri kuridzwa iyo" maitoridzwa hamo masong
anenge ezvigure zvamo hameno kunge yekunanaMalawi kunge kupi.Akaseka achiisa
ruoko muhomwe kuburitsa phone yake nemaearphones," unongotaura ka kuti music
irikubhowa , huya tinzwe yemuphone mangu pamwe iri nani " he said handing me one side
tichibva taisa 1 1.
" unoda music yakaita sei?"
" chero isiri yezvigure " he laughed kwakundiswededza padhuze naye kuti maearphones
aye asabve kwakuplayer song ya Tamia yekuti who do you tell when you love someone.
Pakabva paita runyararo pakati pedu tese takunyatsoteerera song kupedzisira ini
ndatozobatwa nehope dzaairamba dzacho.
" chimuka iwe ahh , unozvinyanya. Tasvika " ndakazomutswa naTony maMutare
takunokwira kuenda kuChimanimani.Ndakatengerwa tumwe tunhu ndichingomanikidzwa
kudya nezvimwe zvekunzi ndonopa ana Anashe , vaigara vachingotaurwa nezvavo
vachinzi vana vangu.
Ndakanosvika kumba vanhu vese varipo and the look on mai Mune's face vachiona
mazibag angu yaive iye yekushamisika. I sat down tikamhoresana zvemazuva ese maziso
avo angori kumabag angu kusvika ndazoti ," ndatambura kuwana transport veduwe dai
ndatosvika kudhara apa mabag aya kurema kwaanga achiita especially iro rine gas tank

31
iro iii ndapinda busy " ndichida kungovaudza kuti vasatye havo zvaive zvakazara zvinhu
zvekunoshandisa ndabva pamba pavo nekuti ndanga ndakutofunga kuti maybe she
thought kuwedzera mazuva ndiri pamba pavo.
Ba Mune ndivo vakabva vati , " dai mafona zve nhai mainini ndauya ndakutorai ,
mungatambure sure " vachibva vangokandwa ziso nemukadzi wacho. Ini ndaive
ndazvitaurira kuedza kugadzirisa imwe nyaya kusaziva kuti ndakutotanga imwe.
Ndakangoseka mbijana kwakuti , " haa nhasi izuva rekumbozororawo pamba veduwee "
ndakuita damage control though I wasn't sure kuti zvaishanda kuna mai Mune.
Nyaya dzakachinja baba Mune vakubvunza dzana baba Tinashe nemhuri yavo. Handina
kuda kuzogarisa ndakabva ndakazosuduruka ndakuenda hangu kunogeza
nekunorongedza mitundu yangu ndakutotanga kuronga kwekunotangira kutsvaga imba
mangwana. I called mai D ndichida kunzwa kana vaive vawana but vaitochema
chemawo kuti vachiri pavo pemusikana wababa D.
Ndapedza kwakuzodzokera kunodya nevamwe kwakuzonosuka zvangu nana Mune
vangu. Vanga vaine nyaya hobho ka dzezvanga zvasara zvichiitika nekubvunza zvaive
zvaitika kwandaive. Takapedza kwakuramba takatombogara hedu imomo
ndakuvaratidza mapictures andaive ndatorwa paweekend , ndichivaudza vanhu vese
vekumba kwedu. Patakasvika pamatwins sisi Anashe vakabva vatanga kuseka ," haasi
matwins aya mama Tracy "
" ko nei nhai Anashe , matwins aya" I said ndichinomuratidza rimwe photo ravo futi.
Kakaseka" havasi ava havana kumbofanana plus vakapfeka hembe dzakasiyana
matwins anopfeka zvakafanana"
Sisi vacho vakazunza musoro vachiseka ndozvavaida zvekuratidza kuti ivo vanoreasoner
chaizvo," unopenga here iwe , matwins aya mukomana nemusikana ka unoda kuti
vapfeke zvakafanana sei?"
" havasi " kakaita nharo kwakubvuta phone iye kakubuda nayo achibva asangana
nababa vacho papassage ," nhai daddy maTwins here aya?" ndakamunzwa akubvunza.
Daddy vacho vakaseka ," hameno wavawanepi?"
" vana vamama Tracy " Anashe said.
They walked in ba Mune varivo vakabata phone" ahhh mainini ndiwo matwins aye atokura
kudai ?"
" ehe ndivo , vanokura vanhu vacho kani "
" haa kukura hakutane sure apa they're so cute " he said vamira padoor then went on to
say" saka manga muri kuChitungwiza ?"
" aiwa ndanga ndiri kwana mama chaiko kuKuwadzana but takaonana hedu nana mai
Tinashe, ahh mazuva acho angaari mashoma dai aive akawanda ndaitombotenderera
kumaraini kwese "
Vakaseka still scrolling my phone ndikashaya chavaitsvaga" ahh akaita mashoma here ,
isu tiri kutoona kunge manga maenda mazuva hobho
32
Chapter 11

N
dakangoseka zviye zvekuti nyaya ipfuure pfungwa dzangu dzichingopishana kuti
vaitsvagei muphone mangu kwakuzongofunga kuti pamwe vaiona havo mapics.
Mwana ndiye wavanga vainaye Anashe akangoerekana aibvuta vakariva
vakaseka bvavamutorera futi kwakubaya baya kwakuzomudzorera. He didn't stay long
vakabva vangobuda vakudzokera kusitting kwaive namai Mune , handina kunzwa
zvavakataura ndakazongonzwa ba Mune vakuti ," mai Mune ka, ndi Anashe anga
achiramba matwins arimuphone mamainini hanzi matwins anofanira kupfeka hembe
dzakafanana chete "ndikatoziva kuti ndanga ndambopinda mudariro.
Ndakabva ndatongosimuka ndakunorara to avoid kunzwa zvakawanda zvaizondirarisa
ndave neimwe stress. Ndisati ndatombosvika kuroom kwangu phone yakabva yapinda a
video call from Tony ndikabva ndamhanya muroom mangu kuti nditaure naye
zvakanaka. Ndakabata bata doek rangu kuti ndinyatsonzwa kuti rakasungika zvakanaka
here and the reason I did this I do not know. Ndakagadzirisa hembe yangu
kwakunyatsozembera pillow kwakudaira ," unoshusha ka iwe , nezuro wakatsamwira kuti
ndaisabatika nhasi ndakubatika hauchadaire mamessage angu indava ?" akangotanga
nekupopota Tony.
" ana Tony ,hamugone kutaura nevanhu zvakanaka ndozvinokushaisai vasikana izvozvi" I
said ndichiseka hangu nekufunga kuti Tony anga asati ambotaura kana nezvemusikanawo
wake.
He laughed achiignore zvandanga ndataura and said ," sei usiri kupindura mamessages
angu nhaiwe?"
"Mamessage apiko nhai handina kumbomaona ini "
" haunyare kunyepa here iwe , watondiblueticker hako ukasiya " he said then I remembered
kuti phone yangu yanga ina Anashe saka pamwe avhurika nemistake , " yanga ine mwana
wako phone pamwe ndiye amavhura " I said.
"Haaa saka ndiye amavhura ? Unopireiko vana phone iwe kkkk "
" tatichiona maphotos saka ambotiza nayo achida kunoratidza vanhu matwins, yakanziiko
message yacho?"
" nothing much ndanga ndichingoda kuti unditumirewo picture rako wakapfeka hembe
yekurarisa "
I giggled," unopenga here Tony "

" chii ? Ndabva ndakutumira nepic redu tiri mubus "


33
" tambotorwa pic here ?"
" hobho asi kuti wanga wakarara " achingopedza kutaura ndakabva ndatocutter
kwakuenda kuwhatsaap , ndikaona message yake then maphotos 4 aaive atumira ,
ndakarara peacefully in his arms apa iye achiita mafunny faces. Ndakaseka
ndikamufonera back ndichimutuka though I thought the photos were beautiful.
Ndakanzwa nekumadzokorora kumaona kwakuzofunga kuti pamwe anga aonekwa
naba Mune ndikanzwa kuzvinyarira kwakuzozvinyaradza nekuti hapana pavaizoenda
kumamessages kwangu.
In the morning takazoguma taenda tese naba Mune , I had tried to avoid it kwakuzoona
kuti ndingatononoka ndichivamirira kuti vabude. Ndichingopinda mumota he started
laughing ndichibva ndaziva kuti vanogona vakamaona maphoto because time
yavakapedza vaine phone yangu vane hobho zvavaitoita , "musiyane nekuvhura zvinhu
zvevanhu"
" sorry henyu mainini ndakangosangana nephoto kugallery ndichibva ndada kuona
kwaibva nyaya , arisei Tony "
Ndakaseka zvekupererwa pavakatozotaura kuti vanga vatoona nemamessage
kwakuzongoti," aribhoo hake ndichibva ndanyara kusvika vanondisiya , apa musi uyu he
insisted kunondisiya pabasa chaipo.
" ndiani ko wawauya naye nhasi?" ndakabvunzwawo naTony ndichingosvika ndisina kana
kumhoreswa.
" ndibamukuru vangu, inga ndovakanditakura day randakauya riye wani, urisey?"
Akanyatsonditarisa ari serious then said ," bamukuru as in shamwari yabamukuru vako?" I
nodded.
" hoo " he said akutofamba ndikazoita wekutevera ndichinzunzutira. After work aive
neginger chaiyo yekuti tinotsvaga imba ndikatenderedzwa ndatenderedzwa zve but
hapana chakabuda. Ndakaperekedzwa kunosiiwa kumba as usual achibva azoti" gogo
vaiti kana wakanyanya kudzvanywa unogona kuuya wofanoshandisa guestroom handiti
kwangosara 2 months here? "
Zvekunotanga kunoitirwa mamood futi kudzimba dzevanhu ndanga ndisisade , I wanted
a place of my own yandinenge ndichiziva kuti ndirikubhadhara mari yangu saka imba
yangu saka ndakabva ndatokasira ndaramba," aiwa mmm ngatimbotsvagai towana "
haana kuda kuita nharo akangobvumira tichibva tapesana hedu.
Week rakapera tichingotsvaga tichishaya , tikabata rimwe ranga rakuda kutopera futi, mai
Mune vanga vawedzerawo mamoods nekuona kunge ndanga ndisisade kubva. Ba Mune
was still being friendly with me nekuda kundiita kuti ndinzwe zvirinani but I still tried to avoid
him a lot kudzivirira mimwe mitauro. Kubasa ndanga ndakukasirisa kubuda kuti ndivatize,
musi uyu ndakatonyatsobuda ndichiti vachiripo kwakuona munhu akamira hake
nechekucorner vachitaura nevamwe baba , I didn't think much of it ndakangovamhoresa
ndakutopfuura vachibva vatooneka munhu wavaive naye kwakuti tiende tese.
" hamusi kana kuwanika mazuvano mainini , kuita kutiza tiza chaiko " he said.

34
" kana kubasa kwacho kuri busy zvisingaite" ndakadaira low low hangu.
" haa pakaipa saka , asi munongokasirawo kudzoka kumba 1 day tombokuonaiwo
"ndakangoseka handina kudaira vachibva vati ," I know it can get uncomfortable
sometimes na sisi venyu but munongosacrifiser kana 1 day zvaro rekutionawo "
I wasn't comfortable nekutotaura navo nezvemukadzi wavo zvaisanyatsobuda and
ndaitoona zvisingaite ndakazongoti ," kana ibasa chete mufunge"
Ndaitofunga kuti vachapinza nyaya dzaTony dzavaiwanzopinza kana vachitaura nyaya
dzekusawanika kwangu but he didn't say that vakangoseka kwakuti ," mukunyepa henyu
mainini" he went quiet for some time then said ," munoziva there comes a time you wish
you had met someone before you met someone ?"
Handina kuvadaira trying to make sense of what he was saying vachibva vati ," you're a
good person mainini " zvichibva zvajeka zvavaireva.
Ndakabva ndatovachinjira face ipapo ," ba Mune ka makuda tipesane manje " I said.
" don't take it the wrong way mainini , it was an innocent compliment" he said ndichibva
ndatirisa kuside ndatononokerwa nekusvika. Ivo vakabva vangonyararawo kwakuzotaura
ndakuburuka ," sorry zvenyu mainini if you were offended" ndichibva ndangogutsurira
ndichienda , vainge vandibhowa.
Ndakasvika kubasa nyaya yaba Mune ichingondinetsa , I didn't know what to draw from
it. What ba Mune had said was so unexpected and inappropriate. I retraced my steps
ndichiedza kufunga pandingadai ndakavapa the wrong impression ndikapashaya. I
would have loved kuvaudzisa chaiko but then maybe it was an innocent compliment as
he had said.
My mind was racing ndisisazive zvekufunga and definitely regretting kuuya kwangu
kunzvimbo iyi , I hoped kuti nguva dzisafambe so I did not have to think about going back
home nekuti kwaisaendeka. Mukadzi aindivenga nerimwe divi murume ondifarira
zvandanga ndakuona kunge zvapfurikidza. Tony noticed kuti I wasn't myself and asked
what was wrong. Ndakamutsanangurira what had happened munhu kwakutotsamwa,"
hazvichatomboite kuti ugare ikoko you have to move out nekukasira" he said.
" I know sha , ndane problem times 2 , mmm ndakutofunga hangu kana kusiya basa
ndodzokera kumba kwedu , ahhh iwe zvakubhowa izvi " I said.
" ahhh uchisiirei basa , ndonotaura nagogo wouya muroom yavaitaura "
" mmm Tony ini zvemudzimba dzevanhu handichada ini " I said.
" handiti unenge uine room yako here ? Its as good as renting zve unenge uchibika wega
then rent munongotaurirana "
Ndakaramba futi" aiwa Tony zvekugara muvanhu vekuziva zvinonetsa izvi , ndogona
kungoshinga kwe2 weeks dzasara ndozoona yekutamba" I said.
" asi ukuzvidawo zvekugara ikoko ?" he said neface iri serious yaitoratidza kubhowekana
ndichibva ndaseka. "usatomboseke hako , you can't continue staying there , you're moving
out nhasi and that's not up for discussion "

35
Chapter 12

N
dakatoshaya kuti hasha dzaiitwa naTony ndedzei , I started laughing
kutombokanganwa kuti ndaive nestress. Akamboda kuramba akarova serious
akazopedzisira akusekawo. Ndakamirira kutanga ndadzikama kwakuzoti "
ukundimanikidza here nhai , ndikaramba unondidii?"
" handisi kukumanikidza , I'm just telling you what I think is best for
you , ndukuona kunge zvisisaite kuti urambe uriko ini , unogara sei pamba pakadaro "
" usade kuita discussion neni zve iwe wati nyaya iyi haina kutaurirana mukati" ndakataura
ndichiseka hangu nekuti tone yaanga ashandisa ndandisati ndambomunzwa achitaura
achidaro.
Apa anga ahumbler manje akuda zvekuonesana neni," sorry kani but I really think you
should move out hako "
I sighed ," I know heyy "
" ndakutofunga kuti maybe that's why mukadzi wavo asingade vanhu padhuze " he said.
" kuti kudaro? Hameno unoziva when I tell vanhu kuti handidi zvemarriage ne love chii chii
vanoona kunge ndopenga Tony but I have seen so many messed up couples and I
definitely don't want to join the queue ana mai Mune included. Marriages are just
complicated iwe , let's take case yana mai Mune for instance like you said kuti maybe mai
Mune havagadzikike nekuti vanoziva kuti ba Mune vanoda madress as you pointed out
hant , someone would think maybe ba Mune vanozoda madress nekuda kwehunhu
hwamai Mune , hazvina formula zvinhu zvacho and ini I just want to stay away from that
drama "
He laughed ," unopenga Tracy unenge uchingosanganawo hako nemacouples
akadhakwa otherwise kune vanhu vatori happily married iwe "
"Happily married? Haa I'm yet to meet them " I said.
" hakusi kuti mahappy couples havanetsane ka , they do fight at times but vanoresolver
their issues and move on. Chakakosha ilove chete Tracy "
I laughed ," hoo ndimi ve Love conquers all ?"
Atori serious " it does sha. Love inokuitisa kunge unopenga iwe inogona kukuitisa some
decisions you never thought you could do "

36
I laughed " itwai conquer yacho mega "
" he he uchazondiudza hako" he said achibva aseka hake kwakuzoti, " saka ndofonera
gogo ka?"
I sighed ndichitsvaga option yaive nani kwakuzoti ," OK handei ndinotaura navo " ndanga
ndatoona zvekumba kwavo zviri nani at least musi wandakatanga kusvika handina
kutanga nekudadirwa plus semunhu anga agara kwamai Mune mwedzi nehalf
handifunge pane chaizoitika kwana Tony chaizonditadzisa kupedzisa nguva yanga
yasara.
" good girl" he said.
Road yese munhu aingosekerera apa isu vamwe takuvara nestress.
Takasvika gogo vake vasati vadzoka kubasa kwakumbogara takavamirira. She came back
tikataurirana tikanzwisisana , maive bhoo zvamo because maitove nebed vakangobvisa
mablankets pandakavaudza kuti ndinawo. Ndakapadira hangu kuti paizosiyana
nekwamai Mune pakuti ndainge ndichizvionera mumba mangu so ndaisave mwana or
kuzonzi ndiri kuchengetwa. Rent vakada kutsenga tsenga mukanwa vachida kuramba but
ndakavamanikidza vakazobvuma 10 us.
Tony anga akutomhanya mhanya excitement yacho ndakaishairwa payo. Sekuru vacho
vaive neHonda Fit yavo ndovatakabva tamirira achiti tishandise kunotakura zvinhu zvacho.
Ndakapinda ndega mumba Tony akasara ari mumota , ana Mune vakandimhanyira
semazuva ese tichibva tagara hedu pasi, " bamukuru na sisi ndazowana imba saka
ndakubuda nhasi maikaitabasa nekundichengeta , may God bless you " ndakataura
ndakatarisa mai Mune vachibva vangoti ," iribhoo mofamba zvakanaka "
Ba Mune sighed then said ," OK mainini saka pakutakura muri kudii "
" ndawana transport iripo panze " I said and he nodded.
Ana Mune ndivo vanga vakutonzwisa tsitsi ari saAnashe kwaitonzi ndirikuda kuendawo ,
ndakatozoita vekunyengetedza nemari nekunyepera kuti ndichadzoka but pafair
zvepamba apa ndaive ndatozvikanzura. Ndakatakura mabag angu ndichibatsirwa naba
Mune though I had tried to avoid him ndakatadza kuvadzinga, mai Mune vaku
gwedebudza vari mukitchen.
Takanosvika pamota Tony akatomira akaizembera ," murisei " ba Mune said Tony akadairira
pasi pasi hake kundibatisa kuti ndamuudza.
" mainini " ba Mune called time dzaakaenda kunoisa zvinhu muboot ndichibva ndacheuka
," I hope handisini ndakudzingai " uku kwaive kubvunza zvinhu zvavainyatsoziva hameno
kuti dzaive nyadzi or what.
I laughed zvefake ndikati ," haa kana "
" I'm really sorry henyu , ndaswera ndichifeeler guilty the whole day , I don't want to justify
myself what I said was wrong, sorry henyu " I nodded ndichibva ndati ," toonana bamukuru
iii makaitabása veduwee "

37
" iribhoo mainini mufambe bhoo" vakataura vakudzokera mugate ini ndichipindawo
mumota. Ndangandakanyarara hangu road yese kusvika Tony azoti , " asi hausi kufara
sezvandiri kuita inini?"
I laughed kwakuti " ndasuwa kumba kwedu ini "
" don't worry unokukanganwa manje manje mira uone " Tony said ndikatanga kuseka
hangu , mood yaive yatochinjwa naTony atanga nyaya dzake. I danced to his tune and
tried my best to forget zvese zvaive zvamboitika kwanamai Mune hoping kuti kwandanga
ndakuenda uku was different.
Patakasvika kwana Tony or let me say kumba ndanga ndatosiirwa food vachiti semunhu
aitanga kugara ega ndanga ndisati ndave nezvekubika , ndakatofarawo because nzara
ndaitove nayo apa ndisina kana kufunga kutenga chingwa zvacho , pfungwa dzangu
dzaingofarira kuti ndabva kwamai Mune. Environment waitonzwa kuti yasiyana kana
paizowana zvaizoitika taizozvionawo kumberi for now the situation was way better than
yekwamai Mune.
Takapedza kudya ndikarambidzwa kusuka nagogo ndichinzi ndiite zvekurongedza. I
decided to first bath ndozoita hangu zvimwe izvi ndozongozorora ka1. Ndakaenda
ndikanogeza handina kutora time 2 minutes ndanga ndatopedza. Kuzonomhanya
mumba kwakuona mumwe munhu akatodekara hake mumba mangu.
" urikuiteiko muno nhaiwe Antony ?" He laughed , probably at the fact yekumusheedza kuti
Antony nekuti since day 1 ndaive ndisati ndambozviita.
" ko ndadii?"
" ukuitei muno , ko ukandibira horaiti , ungangopinda mumba memunhu asimo here nhai?"
asked ndichinyepedzera tuhasha.
He looked around ," ndobei muno , the only thing chandingade kuba ka changa chisimo
wanga waenda nacho "
I looked at him zvekubvunza kuti uri kutii achibva ati ," t shirt yawakapfeka ndoida sha
uzondipawo ukaisiya pachena ndoiba " I laughed," Tony soo ka "
" chii, ndauya kuzokubatsira kurongedza chete ini bvandawana usimo , haudi kudiwa
wakaita seiko iwe? " ndakaseka hangu ndichiona zvinhu zvacho zvaaiti auya
kuzondibatsira kurongedza. Most of the things zvaitongogara mumabag azvo nekuti
ndanga ndisina wardrobe kana chii. Kitchen yacho yaingove gas tank netumapoto 2,
plate necup.
" chisimuka tiwaridze mubhedha " I said achibva angosimukawo tikatanga kuwaridza
tichibatirana magumbeze achitaura nyaya dzake dzekupenga.
" ko gogo vazokanganwa vaburitsa zvese nemapillow ? Mira ndinokutorera " akabuda
akanodzoka nemapillow aye 2.
" dai wangopihwa 1 zve nhai , hapana ashorter here?"
" Tracy mubhedha uri normal unoda mapillow 2 , kopakazouya muenzi "

38
" ehh , eho" ndakataura ndakugara hangu pamubhedha kwakutanga kutaura nyaya
kusvika late ndikazoita wekudzinga. Ndakutobatwa nehope kwakuisirwa text ,
ndakatoshaya kuti ndiani sezvo time dzanga dzafamba kwakuona ari Tony hake ,"
goodnight " apa munhu achindimutsa asina kana 30 minutes abva mandaive.

39
Chapter 13

M
essage yaTony yakandibhowa kuti yandimutsa but i found myself smiling , zvinhu
zvaiitwa naTony zvese so ka zvaingove sweet.I didn't bother to reply him hangu
ndakabva ndatobiwa nehope kwakuzomutswa neimwe text futi makuseni
yakanzi ," good morning ".
Ndakaseka and went back to sleep , sevanhu vaive vanonoka kurara hope dzaive
dzakaita kundidhaka chaiko worse nekujaira kukasira kurara kwandaiita ndichiri kwana mai
Mune kwanga kusina wekutandara naye. Ndakazopepuka zvekuvhunduka and rushed out
of bed, nguva dzanga dzanga dzatofamba it was already 6.45 apa ndichidiwa kubasa
na8. As I opened my door ndakabva ndadhumhana naTony achibudawo mubathroom ,
madoor acho aive akatarisana ,he smiled ," hauna kuona message yangu yandakuisira
kuti uchimuka?" he asked.
Smiling back" ndabva ndabiwa nehope iwe " I said ndakumhanya mubathroom achibva
andivharira road , " Tony mhani " I said iye kwakuramba akamira achiita kunge aisandinzwa,
" Tony tanonoka mhani " ndakataura ndichimubaya guvhu achibva avhunduka , then I
sneaked nepasi peruoko rwake rwaaive akabatisa door frame kuti ndisapinde.
I heard him laughing as I closed the door achibva asheedzera ," kasika iwe"
Ndakazopedza kugadzirira ndamirirwa naTony ndichingomunzwa kufamba famba
pacorridor achingosheedzera ," chipedza Tracy"
Pandakazopedza ndakatambirwa nelunchbox nekaflask , " tanonoka unonodyira mberi "
I smiled ndichitambira zvinhu zviya ndichibva ndati," thanx" takumhanya mhanya kuenda ,
we spent the day as usual chainge chachinja chete pandiri kushaya stress , for the first time
kubva ndiuye ndaive ndamuka in a stress free environment kwete zvekumbotanga
ndatukwa kana kunzwa mashoko aizoswera achindivhiringa zuva rese.
" pane kwandanzwa zve imba kumaraini kwedu uku , pane musikana wepamaraini pedu
wandakataura naye anogara ega kuti mushare 1 and half months dzasara idzi" mai D
vakataura tiri pakati pekushanda.
" ahh ndakatama nezuro ini, ndakugara kwana Tony" I said.
She laughed so loud zvekuti ndakatovhunduka ," ehh inga matove malevels wakatoita
move in?"
Ndakavarova shoulder ndichiseka , pandanga ndataura ndaive ndatokanganwa kuti
ndaitaura nani , she thought kuti something was going on pakati pangu naTony saka
ndaifanira kutonyatsotsanangura ," aiwa kani mai D , kugara kwana Tony as in kuroja ikoko
"
" haiwa zvakangofanana , mukutongogara mese imi, iko mave vanhu vakuru chingozviitai
official "

40
I laughed ndichitiza nyaya yavaitaura " our friendship is official wani?"
" ibvapo , chirooranai zvipere"
" tichiroorana kuti todanana here nhai ?"
" ko sei muchiramba kuti munodanana asi ?"
" nekuti hatidanane zve vasikana Tony is my friend " I said ndichinyatso emphasizer.
" vanhu imika , kana musingadanane saka munodanana musina kuudzana" Ndakavatarisa
ndikaseka ndichitadza kutonzwisisawo zvavaireva ," muri kutiiko nhai mai D ?
" hapana " she answered tikaseka hedu takutaura dzimwe nyaya.
Pakuenda kumba takapfuura tichitenga magroceries angu ekunoshandisa kumba
kwakuzopfuurira hedu kumba. Ndakangosvika nekunozvivharira muroom mangu semunhu
anga ave independent kwakutanga kurongedza rongedza hangu. Ndakabika
ndikapedza Tony asina kumbouya , I expected him to come sezvaaive aita nezuro at least
ndowana wo munhu wekutandara naye.
I waited kwechinguva kuti achauya but he didnt ndichibva ndafunga kubuda kuti
ndinomusheedza asi ndainyara , his phone was off ndanga ndatomboedza kumubeeper .
I then decided kunonyepedzera kutora mvura yemufridge yandanga ndanzi nagogo vake
kana ndichida ndotora, ndomucoder kuti auye hoping kuti aive akagara pasofa rinooneka
ndiri mupassage plus nekuda nyaya kwake akangondinzwa kufamba aigona kubva auya.
I opened my door zvine noise to draw his attention kwakutanga kufamba kuenda
kukitchen ndichidongorera dongorera kusitting room. It seemed aive asimo nekuti kana
voice rake ndaisarinzwa.
Ndakarivara zvekusaona kuti ndatosvika pakitchen pacho kwakuzovhunduka
ndakutonzwa voice ragogo vaTony richiti ," ndimama vako vatozofona apa hanzi iwewe
phone wakadzima " iye Tony wacho akagara hake pachair.

" ahh hesi Tracy " gogo said vachibva vatarisa Tony.
It was obvious kuti ndanga ndainterupter vanhu saka ndakangoti ," ndiribhoo gogo
ndokumbirawo mvura "
She smiled, " ahh tora hako " kwakubva ndangotora mvura yandaisada ndikadzokera.
Tony musi wacho handina kuzombomuona ndakazongomuona the following day
takuenda kubasa but mazuva akatevera acho aiuya everyday totandara kusvika
akuzonorara. Anga arega hake zvekusvika late sterek nekuti mumwe musi akazouya
akasheedzwa nagogo kuma10 achinzi chienda unorara and I just assumed kuti she was no
longer comfortable nekutandara kwedu kusvika late kudaro.
Ndakagara pamba pana Tony for 2 weeks ndisina kana problem , gogo vake was a nice
person and vanga vasina kana basa nezvakawanda to her ndaive muzukuru ini ndichingoti
gogo zvekuti one would think we were really related.
41
Patakasvika weekend ye the second week , ndakamutswa futi netext from Tony
,angaasati asiya tsika yake yekutexter good morning negoodnight every day. Yemusi uyu
yaive. " good morning, I'm taking you out ,muka ugeze " ndakasekerera ndichijamba
kumuka , nothing made me happier than spending time naTony.
Ndakageza ndisina kumbomuona kwakupfeka kadress kangu and waited for him.
Ndanga ndakutadza kugadzikika neexcitement kwakutanga kutenderera tenderera neya
achibva azouya sometime later nasekuru vake achiti vanga vaperekedza ana gogo
hameno kumuchato wekuchurch kwavo. Sekuru pavakangobva pataive akabva atanga
kuseka ," kobvisa ka dress upfeke trousers "
I was so disappointed ndikazvitarisa tarisa kutarisa where I had gone wrong pakupfeka
kwangu ini ndaive ndatoti ndafa nekuchena," ko ndaitasei nhai?" I said.
Ndofunga akazviona kuti ndabatikana akabva ati, " you're now spoiling the surprise. I'm
taking you mountain climbing saka wear something comfortable "
Ndakaseka ndichibva ndanopfeka short neka top nematennis tichibva tazobuda hedu.
Takaenda nemota yasekuru, ivo vaiti vaiuya vachitorwa nemafriends avo hameno
kwavaidawo kuenda so vanga vasina basa nayo.
Takasvika kwakumbotanga kutora maselfie hobho hobho this time ndakasvinurawo.
" huya ndikubate ruoko usatsvedze " he said tichiri muzasi megomo chaimo ,I would slip
dzimwe nguva kupotsa ndadonha but he was holding me really tight zvekuti taitongoseka
toenderera.
Tisina kure kwatambosvika ini ndanga ndatonzwa nekuneta , ndakufemeruka kunge
ndamhanya 7 rounds. " Tony ndaneta ini " I said.
" ahhh Tracy pano here amana, let's just go a little further "
" handichada ini, kudzika kunonetesa futi , aiwa makumbo angu ari kutobvunda aya "
" hande mhani " akataura achiedza kundidhonza ini kwakuedza kuresister ndichibva
ndabvisa ruoko rwangu from his grip, I suddenly lost balance kwakutsvedza but he
managed to get hold of me ndisati ndadonha.
" hii Tracy " he said achinzwika kuvhunduka muvoice rake , ini kutaura kwacho ndanga
ndisisatogone nekutya hana yangu yairova seichabuda muchipfuva.
" hauna kukuvara here?" I shook my head achibva asqueezer ruoko rwangu ," sorry ,
chihuya tiburuke handiti" I nodded hana yangu ichiri kungorova worse pandakacheuka
kwandaienda dai ndakatsvedza.
He held me tight kwakutanga kudzika mbijana mbijana , tichingosvika pasi achibva
anditakura bridal style kuenda kumota. I was so scared zvekuti ndakasvika kumba ndingori
zii zvasangana nekufeeler bad for spoiling day randanga ndarongerwa bho bho. He
carried me futi tasvika kumba ndichibva ndazoseka ," ndave bhoo mhani Tony "
Akasekawo achindiisa pasi kuti akiinure door, " iii amai munotya imi , zvino zvamanga
muchida kuenda nekahembe kaye zvamazenge mongobvunda muchitadza kufamba
nhasi hangu ndaishaiwa pekubata ndakukutakurai"

42
He was trying to be humorous , ndakaseka semunhu anga apotsa rufu ," iii Tony dai
ndadonha paye ndaiita sei? I was so scared" taitaura tichipinda mumba going straight
kuroom kwangu ndaida kumbonyatsogara pasi.
" kana neni ndarohwa nehana iwe , Tracy so "
" hapana apa don't blame me dai wangobvuma kudzika kwete kuda kundimanikidza " he
came so close to were I was standing and looked me straight in the eye kwakuti ,"
kukumanikidza kuita sei ?" he knew the word I was going to use innocently but he was now
trying to turn it into something else.
" Ku , Ku" I stammered apa iye achiramba achingoswedera padhuze dhuze neni ,
ndichinyatsonzwa kuti his breathing had changed as he got closer, I started feeling strange
, kutanga kudikitira nekunzwa a strange sensation all over my body.
" Tony" ndakazvimanikidza kutaurira pasi pasi , pahuro pangu panga pakuita kunge
pagarwa nechinhu chainditadzisa kuburitsa voice rangu zvakanaka.
"Mhhh " he answered kwakuzorega kundipa mukana wekutaura zvandaida as he placed
his wet lips on mine.

43
Chapter 14

N
ervous system yangu yakamboita breakdown , manerves aibatanidza pfungwa
nemuviri akatanga kutadza kutransmitter mamessage nemazvo nekuti zvaitaura
pfungwa nezvandaiita zvaipesana. The moment Tony's lips reached mine my mind
told me to stop but muromo hauna kuzvinzwa ndakazongoona wavhurika , I didn't need
any lessons it felt like my lips and tongue were communicating very well nezvaTony nekuti
zvaingoudzana zvega zvekuita nekupanana mukana zvakanaka naka.
I held him tight ndisina kuudzwa , pfungwa dzichiti," Tracy urikuitei ?" but I chose to ignore.
Ndichiri concentrated on the kiss Tony went for my top , kaive keshifon kaine tumabutton
pamberi apa zvekuti hazvina kumbomunetsa kukabvisa again I wanted to tell him to stop
but I couldn't. Akabvisa zvese nebra then laid me mbijana mbijana pabed yangu yaive
padhuze then shifted his kisses to my neck maoko ake ave busy unbuttoning my shorts
ndikatanga kunzwa kutsva, " Tony " I whispered asi ndanga ndisina hangu chekumuudza ,
I just felt like calling his name.
" Tony " I called again achibva angoti "mhh" ndikaramba ndakanyarara futi achibva azoti
," ndimire?" ndikazvimanikidzira kugutsurira musoro though zvandaida chaizvo ndanga
ndisisazvizive sezvo pfungwa dzangu nemuviri zvaida zvakasiyana.
He looked at me straight in the eye ,still breathing heavily and smiled , pfungwa dzangu
dzichibva dzatanga kudorminater ,I pushed him away kwakunonga top yangu and
covered myself ," what's wrong with you Tony " I shouted feeling so ashamed of myself lying
half naked pamberi paTony.
"Sorry Tee , I got carried away " he said achida kubata shoulder rangu ranga richiri pachena
ndichibva ndamuvhizurira kure carried away yipi yaaitaura.
Ndaisada zvekutaura muviri wangu nepfungwa zvanga zvakazara confusion , ndaitadza
kunzwisisa what had just happened to me ndofunga pane mweya chete wanga
wandigara, " siyana neni Tony " I said achibva ada kutaura ndikamutarisa neziso rakazara
nehasha dzenyadzi and he stood up and left. Achingobuda ndichibva ndapinda
mumagumbeze, ndaive ndakutopindwa nechando.
I could not get what had just happened out of my mind muviri wangu waive uchiri kunzwa
maafter effect of what Tony had done to me rurimi rwangu rwaiita kunge ndatsva netea ,
makumbo angu aive weak and my vg had this funny feeling. Ndaitadza kuzvibvuma kuti
ndaive ndazvichipisa zvekudaro kusvika pakubviswa hembe nemunhu wandaisadanana
naye ndakapfavirira, how could I be so careless? Even if dai ndaidanana naye that is if
dai ndaiita zvekudanana nevanhu, I still wouldn't have done anything like that, i was a
strong believer of no sex before marriage. Ndaive ndazvichengeta without being taken
advantage of by anyone even pandakaita kamukomana kekuhighschool i had never
allowed him kundigumha chaiko, no man had ever seen me naked, kunze kwake iye Tony.
Ndakabva ndatomutsamwira, I was so sure that this had been his plan all along ,
kundiswededza mudhuze kuti awane wekutambisa hake. It hurt so much kufunga kuti Tony
44
thought I was so cheap not kuti I wanted anything more than that hangu but I felt like
kungofungirwa zvakadaro was clear disrespect. I found myself cursing a thousand times ,
kusaziva hangu kuti ndaituka Tony here or inini nekuti ndaive ndamusiya achiita zvaanoda
neni.
Ndakaswera ndingorimo mumagumbeze ndichipinduka pinduka nekuridza tsamwa
kasingapere kwakuzonzwa knock yaiita kunge yemunhu asiri sure nezvaari kuita padoor ,
obviously aive Tony saka ndakaramba ndakanyarara hangu ," Tracy " he called aisada
hake kupinda nekuti dai aida aipinda because the door was not even locked kana iko
kunoka aive atongokutanga ipapa mazuva ese aingopinda without knocking, " Tracy " he
called again ndakanyarara futi.
" Tracy I'm sorry wanzwa , please ndidairo sha " akazama futi luck but ini ndakaramba
ndakanyarara , kutaura kwese kwaaiita kwaibva kwadzosa his image back paanga
akanditarisa licking his lips achiaunza pane angu zvobva zvadzosa futi the strange feeling.
Akamboramba aripo achingoti sorry kusvika azoita give up akaenda. Kuuya kwana gogo
ndakakunzwa but I ignored them, usually ndaiti ndikavanzwa ndobudawo kuvamhoresa
ndozodzokera hangu mumba but apa ndakatoita sendisina kuvanzwa. After sometime
vauya ndakazonzwa imwe knock futi ndikangoti ndiTony ndika ignore kwakubva
yateverwa nekuvhurwa kwedoor , vaive gogo vaTony ," hesi Tracy " she said.
I forced a smile, " ndiribhoo gogo , maswerasei?"
" ndaswera bhoo ko kuti zii zii ,ndatoti asi munhu haapo zvikanzi urimo hako. Asi hausi
kunzwa mushe?"
Fugiro yandanga ndakaita gumbeze yakaita kuti ndidecider kunyepa hangu or else
vaitozoti ndinopenga ," ehe ndine fever " ndakataurira pasi pasi semunhu airwara.
She came close kwakubata bata my forehead and said ," ehe nhai , pamwe wakapindwa
nechando nenyaya yako yekumukira kutsvaira yard inenge isina kana tsvina, mira
ndikutarisire maparacet " I nodded ndichiziva hangu kuti chando changa chapinda
pandakakiswa naToby . Vabuda ndikasara ndichizvibata bata fore head ndikanzwa
zvesure ndanga ndakutopisa. Vakadzoka nawo mapiritsi aye ndikanwa kwakumbogara
gara havo vachibva vazoenda.
Tony haana kuzombodzoka angangoisa text yanzi ," goodnight , I'm sorry "
ndikangoikandira kure. Mangwana acho ndakamutswa neimwe ," good morning , I'm sorry
" yandakaridzira tsamwa futi.

Ndakaswera ndakazvivharira ndisingade zvekusangana naTony ,pandakazobuda


ndakuda kunogeza ndipo patakazosangana padoor , ndofunga anga akatondigarira
nekuti ndakangoti ndichibuda tichibva tadhumhanha," hesi " he said ndikadairira pasi pasi.

" we need to talk shaa" he said achida kubata ruoko rwangu ndikanzvenga achibva
azondibata zvenharo and pulled me into my room. My heart started beating fast

45
ndichifunga incident yanezuro maybe he wanted to kiss me again , I thought ndichibva
ndamirira padoor chaipo.
" pinda ndivhare door" he said ndikaramba nemapendekete nekutya kukiswa futi and he
sighed ," sorry about what I did yesterday ,sorry hako but it just happened " I looked at him
ndikatanga kufunga vanhu vandaimbonzwa vachiti it just happened , apa munhu anenge
ave nenhumbu ipapo obvunzwa kuti zvakafamba sei oti ," it just happened "
" wanzwa here Tracy , sorry kani " akataura futi achibata dama rangu kungondibata
kwaakaita kwakabvakwaita kuti ndikambofreezer kwakuzozvishingisa kumubvisa , " it didn't
just happen Tony wakatozvironga"
He rolled his eyes ," iwewe ukazviramba ka , it just happened we both know it"
Ndakamboramba ndakanyarara ndapusa nezvaanga ataura , ndaive ndatadza
kuzviramba zvesure kwakuzozviudza kuti ndakatadziswa kuramba nekuvhunduka chete ,
he had caught me by surprise , I sighed kuti ndiwane confidence dzezvandaida kutaura ,"
wakungotsvaga pekuhwanda hako napo but maybe this was the reason you wanted
me to come and stay here , uchitoti wazviwanira hure padhuze manje you're mistaken " I
said zvesure ndichiregretter kuuya kuzogara pamba pavo.

" unopenga here iwe , I won't deny kuti I'm attracted to you a and yes 1 of the reasons
yandakaitira kuti uuye ugare kuno ndeyekuti I love having you around but zvimwe izvo
zvawakutaura zvave zvako hako. What happened nezuro was just a simple attraction and
iwewe wakatoinzwawo " I blinked a hundred times ndapererwa nezvekutaura , mumusoro
mangu manga mave nehondo ," I couldn't be attracted to Tony ndaisaita zverudo ini
nezuro Tony anga angondibata ndakarivara" I told myself.
He went on, " I don't even know why you're fighting this Tracy because I know the feeling
is mutual stop fighting it and just go with the flow"
Ndanga ndakutonzwa hasha ndichishaya kuti aindimanikidzirei kubvuma kuti ndine
attraction naye ini ndisina ," undikwanire Tony wanzwa" ndozvega zvandakakwanisa
kutaura apa ndichinyatsonzwa kuti zvaisatombokwana muconversation yataiita.
" I know kuti I messed up nezuro but please believe me, that wasn't intentional , hakusi kuti
I think you're cheap or anything of that sort. I think you're an amazing lady and I fell for you
the very day I met you. I love you Tracy"

46
Chapter 15

I
t wasn't the first time kuudzwa kuti ndokuda , I had been told those words kahobho
nevañhu vakasiyana siyana but the effect that Tony's same words had yakandishamisa.
Hana yangu yakatanga kurova and I became mute , kutadza kutaura chaiko.
Ndaisingoti mukomana akandiudza zvekundida ndotomuudzira ipapo kuti handimude
but apa ndakazvitadza probably because Tony aive munhu wepedyo. Handina
kutsukunyuka kana kudii ndakaramba ndakangomira ndakanyarara, ndanga ndisina
kumbobvira ndakazvifunga kuti Tony aizondiudza kuti anondida.
"I love you Tracy." he repeated his words as if ndainge ndati handina kuzvinzwa.
I sighed , "you don't Tony , you think you do nekuti nezuro you kissed me or maybe you're
saying that uchifunga kuti those 3 stupid words will make me give you what you are after
but sorry hako ,that's not happening" ndaisaziva hangu nezverudo but I really thought Tony
aizvitaurira kuti awane kurara neni.
Akanditarisa neface yainzwisa tsitsi, " hazvisirizvo Tracy , ndinokuda serious , I know I should
have told you kuti ndokuda before attempting to sleep with you handiti but kutaura
chokwadi yesterday's incident was a mistake sorry , let's just say it never happened totanga
nhasi pandiri kukuudza kuti ndinokuda " he said ndichibva ndamutarisa as if I wanted to
search for the truth in his eyes but kungomutarisa kwandakaita ndakabva ndatotanga
kufunga achindikisa nezuro then quickly looked away.
He turned my face to him, " uri kundinzwa here Tracy , ndokuda "
Every time he said those words ndaibva ndatowedzera confusion, ndakashingirira
kushamisa muromo wangu wanga wakuita kunge wanamwa and said, " hazviite Tony "
instead of saying handikude yandaisingoudza vamwe vakomana vaisimbondinyenga.
" chiii chisingaite??"he asked.
" kuti tidanane Tony" ndakataura achibva aramba akanditarisa zvekuti ndakapedzisira
ndakutofunga kuti ndataura zvisirizvo.
" zvinoramba sei iwe uchindida ini ndichikudàwo?"
Anga atanga kutaura on my behalf kuti ndinomuda, "handikude ini" ndakataurira pasi
pasi.

" stop lying to yourself Tee " ndakamutarisa and he smiled and went on ," we both know
kuti you feel the same way , you just don't want to admit it "
" iwe ndiwe wakundizivira manje?" I said, mastatement ake anga akundibhowa
ekunditaurira kuti ndinomuda.

47
He sighed," Tracy imbondiudzawo unonzwei kana tiri tese? " he asked ndikatanga kufunga
zvandainzwa tiri tese kwakuzopedzisira nezvanda ndanzwa nezuro ndikamedza mate
nekutura mafemo.
Akasimudza musoro wangu kuti titarisane and said," don't you feel the way we connect
nhai Tracy, from day 1 wakazvinzwa iwewe nyangwe ukaramba hako. " I went back to the
day we had met and remembered zvese zvakaitika ndikaona kuti zvesure we had
connected but I always thought the connection was friendship.
" Unoziva ka the way you're reacting is exactly why I could not tell you kuti ndokuda , I
wanted to wait for the right time , nguva yawaizonzwisisa kuti I love you but then yesterday
happened, it was a bad move but yakaita kuti ndione kuti we're on the same page , please
give us a chance Tracy" aitaura achida kubata ruoko rwangu ndichibva ndabva paaive
ndikanogara pamubhedha ," siyana neni Tony " I said, ndanga ndisisazive zvekuita nekuti
ndaitonyatsozvinzwa kuti my mind was getting convinced kuti ndaimuda.
Haana kuita nharo akangoti , " please think about it achibva abuda.
Kugeza kwandaida kuita kwakabva kwatovharana , ndanga ndisisina simba racho ,
mashoko aTony airamba achingotenderera mumusoro mangu. Confusion chaiyo ndiyo
yaive yakandibata zvekuti rakazosara ropera zuva ndadzokera mugumbeze regretting
coming to this place. If I had not come ndingadai ndisina kumbosangana naTony
ndakazvigarira ndisina zvinondinetsa. Haana kuzombodzoka, iniwo handina
kuzombobuda panze ndichitya kusangana naye futi. Husiku hwese ndaingopinduka
pinduka hope dzichiramba kuuya pese pandaifunga kunzi ndokuda naTony hana yangu
yaibva yarova but ndairamba ndichingozviudza kuti ndaisamuda.
Monday ndakamukira makuseni seni kuti ndisamuone zvekuti ndakanosvika kubasa kusina
kana munhu. Vanhu vakazotanga kusvika mbijana mbijana patove vachingoshama
kundiona ndakamira ndega ndega ivo vanga vajaira kungotiona tiri pair.
Tony akazouya nguva dzake dzemazuva ese kwakungosviko timhoresa tese namai D
akasuduruka pataive ,mai D vakasara vakundikwenya ," nhaimi kokana manetsana kumba
munobva mauya nazvo kubasa here vasikana , kuchina takanzi tisadaro"
I wasn't in a good mood but apa ndakazvimanikidza kuseka ," ananiko nhai mai D?"
ndakanyepedzera hangu kubvunza but everyone could tell kuti something was wrong
pakati pangu naTony.
" iwewe ka na daddy Tony " she said ndikafa zvangu nekuseka pavakati daddy Tony , then
felt tempted to look kwaaive nevamwe vakomana kwakuona iye akatonditarisawo.
Ndakakasira ndabvisa maziso angu paari ndakudzoka kunyaya yangu namai D, " daddy
Tony vaani?"
Laughing ," usade kundijairira Tracy vako zve ,ko maitana sei ?"
" hapana hedu " I said ndisingade kutaura zvakawanda vachibva vangoseka,
takambonyarara for some time ndichibva ndazovasheedza ," nhai mai D , how do you
know kuti you love someone ?" ndanga ndashaya kuti ndobvunza ani ini but ndaida
kumbonyatsanangurirwa ndinzwisise.

48
She laughed, " ndiani ko ari kuda ani?"
" hapana arikumboda ani apa , I just want to know chete kuti pamunodanana munonzwei
"
"Rudo runotsanangurwa here nhaiwe , Zvaunonzwa uina Tony zviye ka ndolove yacho" she
said ndikatozoona kuti hapana chisvinu chavaimbotaura taitongopedza vachindiseka
kudaro ndohwaive hunhu hwavo hwekungoita mafunnies vaitozoita serious ukaramba
uchivanetsa manje panyaya iyi ndaisada zvekutsanangura zvakawanda wanda.
Kushanda kwacho kwaitonetsa nekuti padiki padiki ndaibva ndatombofunga Tony
ndomutarisa kuti arikuitei and pese pandaimutarisa hana yangu yaibva yarova. I was now
so sure kuti what I felt for Tony was different kune zvandainzwira vamwe vakomana and the
thought scared me ,ndaisada kumuda ini.
Rakapera week ndichingomutiza tiza Tony , waking up very early kana ndadzokera
ndongosvika ndichizvivharira mumba mangu, kuti kubvunzwa chandaimutizira chaiko
ndaigona kunetseka kuchitaura nekuti the truth was I was scared of zvandainzwa kana
ndamuona. Gogo vakambotanga vachabvunza bvunza kuti ko zii zii kupedzisira
vazongosiyana nazvo.Iye Tony wacho anga asina kuzomboedza kutaura nyaya neni sterek
, tikasangana aingondimhoresa zvotopera iyo yerudo aizoitaura pamatext ake aaitumira
makuseni masikati manheru achindimhoresa obva azongowedzera " I love you " kumberi.
Everyday raipfuura I started missing him and all the moments we shared kutonyatsonzwa
kuti something was missing , ndobva ndafunga mashoko ake kupedzisira ndatozofunga
kuti maybe ndaimuda zvesure but I was scared of admitting it sezvaaive amboreva.
Mazuva aindinonokera kufamba zvekuti pakazopera week iroro ndaitoona kunge mwedzi
wese chaiwo apa tichiine dzimwe 3 weeks kumberi. Kuramba ndiri padhuze naTony
kwaindivhiringa daily , ndanga ndokuda kuenda hangu kure naye.Weekend yatanga
tadarika ndiyo yandingadai ndakaenda kumba but yanga yasvika tichiri kuwirirana ka
naTony saka ndanga ndatozviudza kuti ndaizongozviona ka1, zvino apa tanga tave
nenyonga dzedu but it seemed like kuwaster mari kuenda kumba ndasara ne3 weeks saka
ndakatongoshingirira kupedza weekend ndakazvivharira.
Yakapera weekend asina kumboyedza kuita anything funny ini ndichingomudongorera
ndiri kure kana apadhuze ndoita sendisiri kumuona apa ndaive ndisisiri sure kuti kunyarara
kwake kwaive kwekundipa space yekuti ndifunge here or anga azoramwa.
Monday takaenda kubasa tikadzoka ndichingosekwa namai D kuti ndisaite nguva refu
ndakatsamwira daddy ndaive ndapotsa padiki diki kuvaudza zvaiitika but I knew kuti just
like Tony vaizotsimbirira kuti ndinomudawo , something I didn't want to hear.
Tuesday after work ndakabuda ndichimhanya semazuva ese kutiza Tony but
ndichingopesana nevanhu vandaive navo achibva angonyuka mumashure mangu
achifemeruka ," hesi " he said.
" ndiribhoo "ndakadairira hangu pasi pasi , ndiwo wanga watove muitiro wangu pese
pataisangana.
" munonzani nhai sister?" aitaura akanditarisa, ndaisada zvekumusekerera but ndakaseka
chete ," Shupi" I decided kutamba yairira.

49
" nhai sister Shupi ndinokudai wo zve " I found this very funny ndichibva ndamira ndichiseka
" nhai Tony unoda kuti ndicheme here ?"
He laughed and I realized how much I missed his laugh," aiwa ndoda kuti undiudze kuti
Tony ndinokudawo"
I giggled, " Tony siyana neni kani "
" ndosiyana newe sei ini ndichikuda Shupi , mazuva ese ndinotadza kurara ndichingofunga
kuti dai Shupi andidawo?" ndakasekenyeka zviye zvinoitwa nevana vadiki vachinyara, ini
I used to do it paiuya ana bamukuru varume vanatete votanga kunditi mukadzi mukadzi ,
ndaibva ndatotiza ndichiseka kudaro ndonohwanda zvino apa ndizvo zvandanga
ndakuitiswa naTony ndave mukadzi mukuru.
Akasekawo mbijana achibva azorova serious, " ndinokuda Tracy zvemasure sure ,chaizvo
chaizvo"

Ndakamedza mate kasingapere" ahh ndinotya ini Tony " I said ndatoona kuti simba
rekuramba ndichirwisana nezvandainzwa ndanga ndisisina.
" kutyei "
" kuda vanhu " I said
He laughed ," handina kumboti ida vanhu ini ,ndati ida inini ,kana uchitya zvakaitika zviye
zviye don't worry it won't happen again not now not ever" ndakaerekana ndavhura maziso
zvekushamisika achibva aseka ," hoo sorry not now" ndichibva ndatarisa kuside
ndakunyara ndichisekenyeka futi.
" so please, will you give me a chance ?" he asked and I nodded.

50
Chapter 16

I
wasn't sure of the decision I had taken but ndainzwa kuti moyo wangu ndozvawaida
so I decided to give it a try. Smile yandakapihwa naTony yakaita kuti ndibve pfungwa
dzese dzandaive nadzo pamusoro perudo , looking in his eyes I saw nothing but
love. He held my hand kwakuti ," thank you Shupi " ndakaseka hangu ndikati ," iribhoo
Chenjerai " tichibva taseka hedu .
Takaenda kumba tichinanaidzana nekuudzana mashoko aitekenyedza nzeve. Tony was
sweet and if this was what love was then I had deprived myself of a wonderful gift for so
long. Ndainzwa kuti kumba dai kwaita kure taramba tichifamba mbijana mbijana
takabatana maoko ne mudiwa wangu Tony, aive atochinja tittle nenguva diki iyoyo kuita
daddy Tony vaigarorehwa namai D.
Patakapinda mumba vanhu vese vakabva vaisa maziso kwatiri , vaive vakapedzisira
kutiona tiri tese kare . Ndaive ndarivadzwa nerudo ndikakanganwa kuti mazuva aya
ndaiwanzoshandisa door rekuseri kuavoider vanhu though most of the time ndaisvika
pasati pave nevanhu. Zvino musi uyu taive tananaira kusvika kwasviba zvekuti everyone
was home.
" maswerasei gogo" ndakataurira pasi pasi nenyaya yekunzwa kuzvinyarira , ndaitonzwa
kunge vari kuzviziva kuti ndabva kunobvuma Tony.
" hesi kani Tracy urisei?" she answered vachibva vagamwa nasekuru vandangandisati
ndamhoresa ," maimwana murisei " kwakutanga ndatarisa Tony aiseka hake ari paside
kwakuzovadaira.
Takatombomira nguva refu tirimo tichitaura dzimwe nyaya but ini I wasn't myself
ndaitongonzwa kunyara. Gogo ndivo vakazoti ," chienda unozorora iwe nyaya dzasekuru
hadzipere unonzwa nekumira" tichibva tabuda takadungamidzana naTony uku
ndichinzwa gotsi rangu kurema kuratidza kuti taiperekedzwa nemaziso. Tony akabva
andidhonzera mukitchen achiti aida kuona kuti panei chekudya.
Takatora chikafu chake tichibva tadhonzana kuenda muroom mangu ini hangu kubvira
nakubvira muroom make ndanga ndisina kumujaira ndaingoita mekudongorera ," nhasi I
want to feed you Tracy wangu , handiti nhasi wave wangu?" Tony said achindigarisa pasi
iye achigara paside ndichibva ndaseka. Ndofunga dai masmile aiverengwa musi uyu
waitora mukombe hameno kuti ndanga ndasekerera kangani kubva nguva
yandakabvuma Tony kusvika apa, ndainyatsonzwa kuti life iri kuendeka.

" ahhh iwe unozondidyisa mangwana " ndakanyepedzera kuramba.


" saka nhasi ndiwe unondidyisa ka" he said ndichibva ndaseka hangu , most of the things
zvataiita taive tambozviita tese kare but the fact yekuti tanga takuzviita ndakungomuti
mukomana wangu zvaibva zvawedzera value.

51
Hatina kuzombobika takangodyisana sadza rake iroro iye akazowedzera hake nechingwa
achiti anga asina kuguta. Takatandara tichiona movie ndakarariswa pachest and it felt so
nice , ndaiti ndikagara gara ndombomutarisa akarivara ndosekerera kufarira munhu
wangu. Around 9 pakangopera movie akabva aoneka ," good night sweetheart ,
ndakunorara ini ndisati ndauya kuzosheedzwa nagogo, she doesn't trust me around you "
Ndakaseka ," ko nei ?" I asked mubvunzo wainge wandinetsa kubva tisati takudanana.
Smiling, " hameno unozovabvunza" akataura akabata ruoko rwangu achirupurizira so.
" Ndichivabvunza kuti chii?"
" kuti sei musingade kuti mukomana wangu atandare neni kusvika manheru" I giggled
zvaive zvichiri kundiitira funny kuti mukomana wangu , mashoko iwayo aive manyowani
muvocabulary yangu.
" iii Tony usatombovaudze kuti ndave musikana wako " I said ndainyara ini kuti vazvizive plus
ndaisaziva kuti vaizozvitora sei , ndaingogara ndichingonzwa nyaya dzevanhu
vakavengwa nehama dzevakomana nedzevarume saka ndaisada kuspoiler mazuva angu
mashoma anga asara.
Akaseka hake Tony," vanozviziva avo kuti ndokuda ndosaka ka vasingandi truster"
akazotaura ega.
" hii Tony "
" sure ka ndiwe wega waisaona chemistry yataive nayo vamwe vanhu vaitozviziva kuti
ndokuda. Unoziva Tracy diro yandinokuita soo ka mhhh ayha, I just hope one day you will
really understand the depth of my love for you , dai moyo wangu waivhurika wai.... "
I laughed nekublusher zvese ," ave masong evaridzika aya ama kutiudza " ndakamucutter
ndaona kuti mashoko ake akuda kutondipengesa , word rega rega raaitaura raive
nehumwe hudzamu hwaisatsanangurika.
Akaseka ," ndiri kushaya zve zvekunyatsoita kana kutaura kuti unzwisise diro yandinokuita ,
unoziva musi wawakanditsamwira uye ndakarara ndichichema" he said ndikamurova
mbama , I didn't believe it yes but ndakatadza kuudza moyo wangu kuti kunyepa
ndakabva ndatonyatsonzwa kuti ndodiwa.
Akabva amuka achimutsa neniwo tichibva tagara takatarisana ," sure ka Tee I love you so
so so much" aitaura achindibata matama zviri soft ndichibva ndagutsurira.
" uchasvika riinhi uchishandisa sign language nhai babe" I looked away ndichiseka ," I love
you too " ndakazozvishingisa kutaura mashoko aya kumunhurume wandisina hukama naye
for the first time.
He stood up kwakundisimudza neniwo achibva andipa a tight hug , " Thank you for loving
me , good night " he said after the hug ndichibva ndadaira hangu akubuda achindisiya
hana yangu ichiri kurova nehug.
Paakabuda ndakasara ndingori all smiles kwakumbotora pillow yangu ndikaihugger tightly,
zvandainzwa zvaisatsanangurika ndaishaya kuti ndoita sei chaizvo , ndojamba jamba here
kana kudii ,ndaingonzwa kamwe kaenergy so. I took my phone ndichida kuisira Trish

52
message yekuti ndave nemukomana but obvious aisambozvibvuma aitoda kuti nditoenda
naye Tony wacho ndonomuratidza kuti uyu kuti azvibvume saka ndakazosiyana nazvo.
Hope dzakanyatsondibata zvakanakisa still feeling Tony's presence pandainzwa
kunhuhwirira kweperfume yake.
As usual ndakamutswa nemessage ," good morning my queen , I missed you the whole
night" dai kaiva kare kangu ndakatotanga kuanalyser kuti aindisuwa sei akarara but apa
zvazvaireva ndizvozvo anga andisuwa , aishuwa kuti dai ndanga ndiripo paside pake
I smiled ndichimuka kugara kuti ndinyatsotyper ," morning my king , I missed you too"
ndakatozozviona kuti love yaisada malessons zvaingozviita zvega zvichienda ndofunga
kaapplication kacho takatongosikwa tiinako and kangu ndaive ndato kaabuser makore
ese aya ndisinga kashandise zvino kaive kazoitwa install naTony kwakutanga kushanda
kachikavhira pakanga kakazorora.
Musi uyu takamirirana tikadya tese kwakuzobuda kuenda kubasa ,kungosvika chete mai D
vakabva vatowana nyaya ," mazowirirana ka , kwete zvenyu zvekuswera
muchidongorerana netumakona tweziso "
" mai D matanga"
" sure zve nhasi zviri kuoneka kuti kumba kune rugare uku ,mapananeiko?"
Ndakaseka hangu kwakuti ," imi munopenga chete"ndichinyaririra ,ndaitonyatsozvishaya
kuti zvekunyara zvanga zvabvepi.
Vakaseka zvekwavo chaizvo zvekugegedzera," kunyaririra here uku , ndiudzewo Tracy
pamwe ndinganopanana nawo naba D zvikafamba uri mumwe wangu iwewe. Mese
henyu hona Tony wacho hona , he can't get his eyes off you ndabvira kumuona kare"
vakataura mai D vakatarisa Tony uye ndichibva ndamutarisawo and he winked me and
licked his lips ndichibva ndanzwa mazhrr muviri wese and giggled then said,"
ndakamubvuma nezuro , takudanana manje kwete pese pamaitinyepera kuti tinodanana
" ndaive ndazowana wekuudza manje nekuti kuzvichengeta mumoyo kwaindiremera.
" gegege " she laughed kusvika vasisagone kumira vaita kuzvitsigira nekubata mabvi
kwakuzoti," horaiti rega ndiite skip the part yekuti ndakambokutii , ndoenda hangu pakuti
saka 1 day irori ndiro rabva raita kuti uite glow kudai ?" I laughed and nodded.
Vakaseka futi kwakuti," chete kudanana makabvira kare henyu nyangwe manga
musingabudirane pachena but still haaa gore rino tinoonerera , nyuriro yacho iyi ka.
Gegege Gudo riye razonhonga pembe."

53
Chapter 16

I
wasn't sure of the decision I had taken but ndainzwa kuti moyo wangu ndozvawaida
so I decided to give it a try. Smile yandakapihwa naTony yakaita kuti ndibve pfungwa
dzese dzandaive nadzo pamusoro perudo , looking in his eyes I saw nothing but love.
He held my hand kwakuti ," thank you Shupi " ndakaseka hangu ndikati ," iribhoo Chenjerai
" tichibva taseka hedu .
Takaenda kumba tichinanaidzana nekuudzana mashoko aitekenyedza nzeve. Tony was
sweet and if this was what love was then I had deprived myself of a wonderful gift for so
long. Ndainzwa kuti kumba dai kwaita kure taramba tichifamba mbijana mbijana
takabatana maoko ne mudiwa wangu Tony, aive atochinja tittle nenguva diki iyoyo kuita
daddy Tony vaigarorehwa namai D.
Patakapinda mumba vanhu vese vakabva vaisa maziso kwatiri , vaive vakapedzisira
kutiona tiri tese kare . Ndaive ndarivadzwa nerudo ndikakanganwa kuti mazuva aya
ndaiwanzoshandisa door rekuseri kuavoider vanhu though most of the time ndaisvika
pasati pave nevanhu. Zvino musi uyu taive tananaira kusvika kwasviba zvekuti everyone
was home.
" maswerasei gogo" ndakataurira pasi pasi nenyaya yekunzwa kuzvinyarira , ndaitonzwa
kunge vari kuzviziva kuti ndabva kunobvuma Tony.
" hesi kani Tracy urisei?" she answered vachibva vagamwa nasekuru vandangandisati
ndamhoresa ," maimwana murisei " kwakutanga ndatarisa Tony aiseka hake ari paside
kwakuzovadaira.
Takatombomira nguva refu tirimo tichitaura dzimwe nyaya but ini I wasn't myself
ndaitongonzwa kunyara. Gogo ndivo vakazoti ," chienda unozorora iwe nyaya dzasekuru
hadzipere unonzwa nekumira" tichibva tabuda takadungamidzana naTony uku
ndichinzwa gotsi rangu kurema kuratidza kuti taiperekedzwa nemaziso. Tony akabva
andidhonzera mukitchen achiti aida kuona kuti panei chekudya.
Takatora chikafu chake tichibva tadhonzana kuenda muroom mangu ini hangu kubvira
nakubvira muroom make ndanga ndisina kumujaira ndaingoita mekudongorera ," nhasi I
want to feed you Tracy wangu , handiti nhasi wave wangu?" Tony said achindigarisa pasi
iye achigara paside ndichibva ndaseka. Ndofunga dai masmile aiverengwa musi uyu
waitora mukombe hameno kuti ndanga ndasekerera kangani kubva nguva
yandakabvuma Tony kusvika apa, ndainyatsonzwa kuti life iri kuendeka.
" ahhh iwe unozondidyisa mangwana " ndakanyepedzera kuramba.
" saka nhasi ndiwe unondidyisa ka" he said ndichibva ndaseka hangu , most of the things
zvataiita taive tambozviita tese kare but the fact yekuti tanga takuzviita ndakungomuti
mukomana wangu zvaibva zvawedzera value.
Hatina kuzombobika takangodyisana sadza rake iroro iye akazowedzera hake nechingwa
achiti anga asina kuguta. Takatandara tichiona movie ndakarariswa pachest and it felt so
54
nice , ndaiti ndikagara gara ndombomutarisa akarivara ndosekerera kufarira munhu
wangu. Around 9 pakangopera movie akabva aoneka ," good night sweetheart ,
ndakunorara ini ndisati ndauya kuzosheedzwa nagogo, she doesn't trust me around you "
Ndakaseka ," ko nei ?" I asked mubvunzo wainge wandinetsa kubva tisati takudanana.
Smiling, " hameno unozovabvunza" akataura akabata ruoko rwangu achirupurizira so.
" Ndichivabvunza kuti chii?"
" kuti sei musingade kuti mukomana wangu atandare neni kusvika manheru" I giggled
zvaive zvichiri kundiitira funny kuti mukomana wangu , mashoko iwayo aive manyowani
muvocabulary yangu.
" iii Tony usatombovaudze kuti ndave musikana wako " I said ndainyara ini kuti vazvizive plus
ndaisaziva kuti vaizozvitora sei , ndaingogara ndichingonzwa nyaya dzevanhu
vakavengwa nehama dzevakomana nedzevarume saka ndaisada kuspoiler mazuva angu
mashoma anga asara.
Akaseka hake Tony," vanozviziva avo kuti ndokuda ndosaka ka vasingandi truster"
akazotaura ega.
" hii Tony "
" sure ka ndiwe wega waisaona chemistry yataive nayo vamwe vanhu vaitozviziva kuti
ndokuda. Unoziva Tracy diro yandinokuita soo ka mhhh ayha, I just hope one day you will
really understand the depth of my love for you , dai moyo wangu waivhurika wai.... "
I laughed nekublusher zvese ," ave masong evaridzika aya ama kutiudza " ndakamucutter
ndaona kuti mashoko ake akuda kutondipengesa , word rega rega raaitaura raive
nehumwe hudzamu hwaisatsanangurika.
Akaseka ," ndiri kushaya zve zvekunyatsoita kana kutaura kuti unzwisise diro yandinokuita ,
unoziva musi wawakanditsamwira uye ndakarara ndichichema" he said ndikamurova
mbama , I didn't believe it yes but ndakatadza kuudza moyo wangu kuti kunyepa
ndakabva ndatonyatsonzwa kuti ndodiwa.Akabva amuka achimutsa neniwo tichibva
tagara takatarisana ," sure ka Tee I love you so so so much" aitaura achindibata matama
zviri soft ndichibva ndagutsurira.
" uchasvika riinhi uchishandisa sign language nhai babe" I looked away ndichiseka ," I love
you too " ndakazozvishingisa kutaura mashoko aya kumunhurume wandisina hukama naye
for the first time.
He stood up kwakundisimudza neniwo achibva andipa a tight hug , " Thank you for loving
me , good night " he said after the hug ndichibva ndadaira hangu akubuda achindisiya
hana yangu ichiri kurova nehug.
Paakabuda ndakasara ndingori all smiles kwakumbotora pillow yangu ndikaihugger tightly,
zvandainzwa zvaisatsanangurika ndaishaya kuti ndoita sei chaizvo , ndojamba jamba here
kana kudii ,ndaingonzwa kamwe kaenergy so. I took my phone ndichida kuisira Trish
message yekuti ndave nemukomana but obvious aisambozvibvuma aitoda kuti nditoenda
naye Tony wacho ndonomuratidza kuti uyu kuti azvibvume saka ndakazosiyana nazvo.

55
Hope dzakanyatsondibata zvakanakisa still feeling Tony's presence pandainzwa
kunhuhwirira kweperfume yake.
As usual ndakamutswa nemessage ," good morning my queen , I missed you the whole
night" dai kaiva kare kangu ndakatotanga kuanalyser kuti aindisuwa sei akarara but apa
zvazvaireva ndizvozvo anga andisuwa , aishuwa kuti dai ndanga ndiripo paside pake
I smiled ndichimuka kugara kuti ndinyatsotyper ," morning my king , I missed you too"
ndakatozozviona kuti love yaisada malessons zvaingozviita zvega zvichienda ndofunga
kaapplication kacho takatongosikwa tiinako and kangu ndaive ndato kaabuser makore
ese aya ndisinga kashandise zvino kaive kazoitwa install naTony kwakutanga kushanda
kachikavhira pakanga kakazorora.
Musi uyu takamirirana tikadya tese kwakuzobuda kuenda kubasa ,kungosvika chete mai D
vakabva vatowana nyaya ," mazowirirana ka , kwete zvenyu zvekuswera
muchidongorerana netumakona tweziso "
" mai D matanga"
" sure zve nhasi zviri kuoneka kuti kumba kune rugare uku ,mapananeiko?"
Ndakaseka hangu kwakuti ," imi munopenga chete"ndichinyaririra ,ndaitonyatsozvishaya
kuti zvekunyara zvanga zvabvepi.
Vakaseka zvekwavo chaizvo zvekugegedzera," kunyaririra here uku , ndiudzewo Tracy
pamwe ndinganopanana nawo naba D zvikafamba uri mumwe wangu iwewe. Mese
henyu hona Tony wacho hona , he can't get his eyes off you ndabvira kumuona kare"
vakataura mai D vakatarisa Tony uye ndichibva ndamutarisawo and he winked me and
licked his lips ndichibva ndanzwa mazhrr muviri wese and giggled then said,"
ndakamubvuma nezuro , takudanana manje kwete pese pamaitinyepera kuti tinodanana
" ndaive ndazowana wekuudza manje nekuti kuzvichengeta mumoyo kwaindiremera.
" gegege " she laughed kusvika vasisagone kumira vaita kuzvitsigira nekubata mabvi
kwakuzoti," horaiti rega ndiite skip the part yekuti ndakambokutii , ndoenda hangu pakuti
saka 1 day irori ndiro rabva raita kuti uite glow kudai ?" I laughed and nodded.
Vakaseka futi kwakuti," chete kudanana makabvira kare henyu nyangwe manga
musingabudirane pachena but still haaa gore rino tinoonerera , nyuriro yacho iyi ka.
Gegege Gudo riye razonhonga pembe."

56
Chapter 17

V
airevesa mai D kuti ndainge ndopenga nerudo nekuti mazuva akatevera were the
best days of my life , ndakatotanga kushuwa kuti dai Tony akangondiudza
zvekundida tichangosvika ndakanyatsopedza 3 months dzese ndichirarama so. He
made sure that he made everyday special whether tirikubasa or kumba zvese zvaaiita
made me fall really deep for him. It was just those little things like kungotengerwa kachidhori
kakanzi i love you chaiko kwaiita kuti ndiwedzere kumuda and the kisses he would blow at
me kubasa zvaibva zvanditenderedza musoro. Yemachokwadi chokwadi ndaive
ndaiguma musi watakanetsa tisati takudanana iwo uya apa taingopanana hug
zvotoguma zvakadaro ,vamwe tosara hedu tichishuwa kuti dai angondikisa but semunhu
munyowani mufield ndaisaziva kuti inokumbirwa sei saka ndaitongokuvarira mukati.
Tony ndaimuda kusvika paigumira level rekuda munhu zvese zvandaisimbopa vanhu
advice yekuti " leave room for disappointment " kwandiri zvaisashanda. Ndofunga dai Trish
naAshy vaiuya vondiona ndinaTony vairamba kuti ndini Tracy wavaiziva.
Madays andaishuwira kuti afambe just a few weeks ago ndaive ndakushuwa kuti
ambomira nekuti everyday raipfuura raitapudza mazuva andaizova naTony wangu
padhuze. I wasn't the only one feeling this way weekend yekupedzisira Tony aitooneka kuti
ane zvaimunetsa. Vanhu kumba vaitotarisira kuti ndinouya Saturday iyoyo but ndaive
ndavanyepera hangu kuti ndaida kuwacha ndisafambe nezvinhu zvine tsvina just to buy
some more time naTony wangu. Anga amuka late Tony apa munhu angori low low zvekuti
ndanga ndakutonetseka.
" koindava kuti zii zii kudai ?" ndaimubvunza ndiri busy kuyanika hembe dzangu nedzake
dzatanga tawacha , taive takutowachirana ka sezvo anga ave munhu wangu.
He smiled zvekumanikidzira ," I'm starting to miss you already , hazviite here tingogara kuno?
"
Ndakasekererawo though I wasn't convinced neanswer yake kuti aive akapusa
nekundisuwa nekuti obvious taizoramba tichionana. Ini ndaive ndatoita maplans kare
ekunogara kwaTrish ndichiitira kuve padhuze naye nekuti I didn't think I'd be able kupedza
zuva ndisina kumuona, " handiti tinenge tichigara padhuze nepadhuze here nhai ?
Tinogona kungoonana everyday " I said ndichiedza kucomforter mumwe wangu.
He smiled again," ukunogara nagulez ?" He asked , aiva akumuziva pamapictures nenyaya
dzake dzandaimuudza though Trish wacho ndanga ndisati ndamuudza nezvaTony.
Ndakagutsurira musoro achibva ati ," wakangwarira mupfana but still it won't be the same
babe , zvakatosiyana nekuno where I knew kuti you're just a few metres away "
Ndichiseka

57
" ehe hazvo but ndozviripo neniwo ndikazvifunga ndirikutonetseka ,urikundipengesa Tony"
ndanga ndisisanyare kuconfesser my love for him , I wanted him to know how he made me
feel.
He smiled kwakuchinja nyaya," nhasi tombotendera kekupedzisira kuno ,I want to make
every minute count "
" ahhh tichiendepi?"
" kwekuenda kwakawanda but ndirikuona kunge nhasi kunotongoda masaskam rounds" I
giggled achibva ati ," sure ka kungotenderera tenderera hedu , I could really use some air"
"Tony so ka " ndaitaura ndichiseka hangu.
" chipedza tinogeza" I looked at him shocked achibva aseka, " iwe ukatanga ka ini
ndozopinda" aitaura akutosimuka paanga akagara achipinda mumba.
After a short while taive tatopedza tichibva tabuda kuenda kumasaskam rounds edu.
Takatenderera tichinanaidzana tombomhanyisana , zvaitongonakidza zvakadaro
ndikatozorealizer kuti kana uine munhu waunoda hapana chinonzi hachinakidze.
After some time tichifamba we decided kuchidzokera kumba. Tony ane zvaaida kutenga
saka takatanga tapfuura nekumashops , hapana kana chisvinhu chaimbodiwa kunze
kwekukumba machocolate netunhu tusina kana nebasa. Takutobuda takatokochekerana
tichiseka ndinzwe ," mama Tracy , mama Tracy" ndichibva ndangoziva voice raAnashe.
Ndakatarisa direction yaibva voice kwakuona vakamira namama vavo tichibva tatanga
kufamba tichienda ikoko, sisi Anashe vanga vasisina kugadzikana vakatouya vari bara
ndikakatakura ," makandinyepera ka mama Tracy " she said ndikaseka.
" handina kumbonyepa ,ndandiri kubasa baby " I said achibva angogutsurira.

Takasvika paive na mai Mune tikamhoresana bho bho , mai Mune kutodaira zvakanaka
naka kunge vasirivo vaindiitira mamoods zuva nezuva.
" muchiri kuno mainini ?" she asked.
" ehe haa but Monday takutodzokera manje " I said
" saka manga makutodzokera musina kutiudzawo ? Musadaro sure" ndakatomboramba
ndakashama ndikazongoseka nhema kwakuti ," ipapa ndanga ndichitoti mangwana after
church ndouya ndokuonekai nana Mune vangu ava " ndakanyepa hangu ndaive
ndatovakanzura ini ndaisada zvekunonetsa kumba kwevanhu.
Takangomira nguva diki diki ndichingotaura nanaMune kwakubva taonekana
nezvekutodzokera kuHarare zvese ipapo. Takufamba Tony achibva aseka ," waivanyepera
iwe munhu aribhoo gulez ava"
I laughed, " kwanikowo vaona ka iwe and ruled me out as a threat " I said.
" vasiye she was protecting her territory " akataura tichibva taseka hedu.

58
Kutaura navo kwandanga ndaita made me feel better , I felt like kusekerera ikoko was her
way of apologising maybe she had realised her mistake chokwadi chaicho was ndaive
ndisisina basa nazvo nekuti she was one of the people in my past plus ndaive ndakuita
kakuvanzwisisa. Of course vakaenda kumaextremes but shanje dzaibaya ndaive
ndazozviona musi wandakaona Tony achisekererana nekamwe kamusikana kemushop
ndikavira nehasha ,ndaisada zvemunhu aitambira padhuze nemunhu wangu.
The following day mood yemunhu wese yaingove low low kubvira kunana gogo vacho
nekuvana zvese. Taive tajairana kutoita family chaiyo , gogo pavakangobva kuchurch
vakasvika takagara hedu naTony paveranda vachibva vati ," manheru Tracy usabike
unouya kuno tigoita kaFarewell dinner"
Semunhu anga akokwa pakakwana nguva dzekubika ndakabva ndatoenda
kunovabatsira kugadzira food yacho. It was nothing much just the main meal netuma
baked treats but it really meant a lot, vaive vandigamuchira tikagara tese zvakanaka now
taive takuparadzana zvakanaka futi.
" vasikana ndichakusuwai veduwee , I had gotten used to having another female pamba
" gogo said vachiseka , vaive nevana vakomana vega vega saka ndivo vega mukadzi
aivepo.
" kana neni gogo ndatojaira zvekuno ini zvekuHarare zvakutonoita zvinyowani"
ndakadairirawo asi chega chandanga ndajaira kuno was spending time naTony.
" muzouya wo muchitiona kwete kuzonoti nyaa " she said tikaseka hedu tichienderera
mberi nekubika.We had our dinner over a light conversation ndichibva ndazosimudza
maplates ndakunosuka hangu , Tony followed kwakusvikondi hugger nekumashure
achizevezera munzeve dzangu," I love you" ndiri pakati pekusekenyeka gogo vakabva
vapinda neplate yanga yasara ichidyirwa nemwana wavo mudiki. Tony akandisiya
kwakumira paside ini ndikaramba ndiri serious nekusuka. She didn't say anything ini ndini
ndakangozvibaya ndega nekunyara.
" iii Tony ukuona zvaunoita ka"
" hazvina basa mhani " he said akuuya kuzondibatsira kupedzisa kusuka.
Patakapedza ndanga ndakunyara kudzokera kunana gogo but Tony persuaded me
ndikazongoshinga kuenda. Gogo vacho vaive munhu uye wekuti you could not tell zvavari
kufunga , vaingotaura nyaya as usual zvekuti ndakatadza kuziva how she was feeling
about zvavanga vaona.
Nyaya dzacho dzaisapera zvekuti ndakazooneka nguva dzaenda , vana vese vanga
vatorara tangosara tiri 4.Takaperekedzana naTony kunosiiwa muroom mangu but haana
kugara akangopinda nekuti," goodnight , handiti zvinhu zvese zvave ready ka , we're
leaving early ,tirikubuda nasekuru " I nodded achibva andidhonzera mukiss yakandisiya
ndisisagone kunyatsofema then said ," I love you"
" I love you too" yandakaita yainzwikira kure kure as I tried to catch my breath ndichibva
ndazonogara pasi diverting my mind to vanhu vekumba vandanga ndasuwa vandaizoona
mangwana.

59
Chapter 18

N
dakamuka kuseni seni sekutaurirana kwatakaita nadaddy Tony zvekuti sekuru
vakazosara vomuka isu vamwe tatove ready. I was feeling really excited , kumba
kwenyu kumba kwenyu , I really missed home plus sezvo Tony aive achiri padhuze
ndaisamusuwa sterek. Semazuva ese I spent most of the journey ndakarara hangu
ndichingomutswa naTony paainditengera something. Takasvika kuHarare nguva dzichiripo
achibva atanga anondikwidza kuenda kuKuwadzana, obviously hapana
pandaizongonanga kwaTrish straight ndaida kutombonoonawo ana mama nevamwe
kumba.
Tasvika pamalifts paye ndakaita drama ndatsvukisa maziso nekusada kuparadzana
naTony , ndaiona zvisingabude kugara so far away from him. Iye aive busy kuseka hake ,"
Tracy unopenga here ,ungabva waita kunge ndiri kuenda kunze kwenyika kudaro? Ipo
paChitungwiza padhuze apa pekuti 30 minutes ndinenge ndatosvika muno toonana?"
Misodzi yanga yakuda kutondiitira mawara ndikanzwa nekuitswinyira mumaziso kuti
idzokere apa ndakungoti ," ahh ibvapo ahh ahh " ndichiseka nekunyara.
" chinyarara hako nhanha" he mocked me ndikamurova achibva azoti ,"bye handiti
sweetie totaura paphone " achivhura maoko ake for a hug ndichibva ndambundirwa zviri
tight wanikwe mahwindi awana basa ,akuridza miridzo achisheedzera ," haaa mudhara
makanyanya , nyatsobatai munhu" ndichibva ndaseka ndichibva mumaoko ake
kwakumboramba takabatana maoko tichienda tichisiyana mbijana mbijana.
" see you shaa , I love you" he said ndichibva ndagutsurira zvese nekuti, " I love you too"
kwakuzopinda mukombi.
Ndakapinda kombi yatozara zvekuti takasimuka Tony achiri kutooneka ndikanzwa
nekucheuka cheuka ndichimudongorera kusvikira asisaoneke. Kumba ndakanosvika kuina
makoti chete mukadzi waPrince tikatombotandarawo mbijana Naledi ainzi angaadzokera
kumba kwamai vake. Distance had done us good nekuti takatomboita nyaya pasina
kumarana marana.
Vanhu vakazouyawo kubva kumabasa ingori happy happy kufarira ini ndaive ndabva
kure. Munhu wese aingogara in and around Harare zvekuti taigaroonana padiki padiki
saka ndaitoita sendaive ndaita gore rese ndisipo. Kutandara kwatakaita kwakatomboita
kuti ndikanganwe Tony ndikazongoona message yake yegoodnight pandanga ndakurara.
Ndakangogara week ndiriko kwana mama asi ndichingofunga Tony wangu. I missed him
a lot ,ehe taitaura hedu but zvaive zvakatosiyana nepataigara tese when all his time was
mine. Apa anga ave busy nekutsvaga basa so we had to utilize nguva shoma yataive nayo
saka ndakabva ndatofunga kunogarira kudhuze as I had already planned.
Chimwe chinhu chandaitya kutorerwa chaiko ,ndaisafunga kuti ndaizowana mumwe
wandingade besides Tony , iko kungofunga aine mumwe munhu kwakaita kuti nditokasira

60
ndarongedza. He wasn't that handsome hake but he maintained himself well , aigerwa
zvaimufita nekupfeka hembe dzinoenderana naye zvekuti patanga takudanana
ndainyatsoona kuti ndakazvibatira.
Ndakangozvifunga ndakatozvambarara hangu pamubhedha ndichiona maphotos
ndichibva ndatosimuka kunooneka. Mama vaive mukitchen namakoti vari busy
kurongedza rongedza nekudii, taingomuti makoti nekuti anga asati ave nemwana. I got in
ndikasviko garawo pachair kwakuti , " mama mangwana ndiri kuenda kuChitungwiza "
Vakadaira vatongori serious nezvavaiita ," eho ubva wanopihwa lunch yangu yaakaenda
nayo yakatosiya set yangu isisina kukwana iyi" vaitaura vachinongedzera set yacho
ndichibva ndaona kuti vaitifunga kuti ndiri kunodzoka musi iwoyo.
" handisi kudzoka mangwana ndiri kutombonoita mazuva " I said vachibva vamira zvavaiita
vachinditarisa.
" wanga watofinhwa nepano zvarinhi zvekuda kutotanga kufamba nemaraini?" taurirwo
yacho waitoti pamwe maraini aye ehwana hudiki ekunzi usaende kunotamba kumaraini
ivo vachireva havo kumba kwasisi vangu.
" pane munhu arikuda kunditsvagira basa ikoko saka ndirikuda kunogarira padhuze"
vakanditarisa zvekushamisika," ibasa rei iroro kuChitungwiza ?"
" ahhh hameno akangonditi huya " ndakazvibatisa ndega kuti ndainyepa.
Vakaseka ," tinodzoka totya ka wakungoti kwabamukuru kwabamukuru zvisina tsarukano ,
munotiitira zvimwe ikoko tikanyara" she said.
" mama ka , ndamboti kwabamukuru here kana kuti ndati kwaTrish?"
" zvakangofanana paye wakange usisade kubvako futi "
Ndakaseka ," ndinovadii baba Tinashe inini , ndiitirei mushe ambuya vaNaledi"
"Her pamwe unenge wakungoti chero" she said laughing ndichibva ndatiwo,"
musatombozvinetse henyu handiite zvemadhara ini ndoita zvevakomana"
Makoti akabva acheukawo paaive akatsikitsira achipukuta zvisingaperi mama kwakuti,"
asi wane mukomana kani Tracy?"
I laughed ndakusimuka ," ndisiyei imi" ndikavanzwa vakusara vachisheedzera ," Iwe Tracy
huya utaure nyaya yako Tracy" ndikavaignore hangu ndichisekerera, kutongotaura
nezvaTony kwaindipa mufaro.
Nekuda kwamama nyaya ndakatozongovaudza kuti ndave nemukomana, zvisina hazvo
madetails chero zvekuti ari kuChitungwiza handina kuzvitaura chandakangoita kuvaudza
kuti ndinaye vakafara kunge hameno hameno. Ndakangoswera musi iwoyo mangwana
acho kwakutogadzirira kuenda.
Ndakanosara ndosvika kwaTrish akatondimirira ," tiudzei tinzwe nedzabamunini" she said
hugging me.
" asi mama chii navo chaizvo chaizvo ?" ndakaseka hangu ndichimhanyira paive nana 2.

61
" zvandakarara ndaudzwa izvo , nyatsogara pasi utaure shaa ndatononokerwa " aitorova
rova sofa racho raaida kuti ndigare.
" hapana apa mumwewo muface wandaishanda naye " I said uku smile irikunzeve.
Achiombera maoko ," hiii that smile heee someone is in loooove "
Ndakaseka ," haunyare here iwe munhu wamai mufundisi , unodzidzisa vana vesangano
kuti chii?"
" musachinje nyaya maimwana , tiudzei nezvabamudiki " she said achitadza kugadzikana
, panga pasisina chekuhwanda ndakatongomuudza zvese ndichisiya zvekumbobvisana
hembe nekuti namai mufundisi ndaitomborohwerwa mharidzo.
Ndakamutsindidza hangu kuti asaudze bamukuru but paitove nehigh possibility yekuti
aivaudza ndava ipapa kwaitonzi minamato yedu naba Tina yakasvika.
Ndakabva ndambobuda ndichinofonera Tony kumuudza kuti ndasvika , ndaisada kurara
ndisina kumuona, " maimwana" he said.
" hesi daddy"
"I miss you sweetheart, I'm not OK" voice racho raive rachinjwa kuti rinyatsonzwika kuti
airevesa.
" neniwo sha ,huya undione ndiri kwaTrish"
" ohh ok ndosvika ikoko ndofunga around 7 ndapedza mahustles angu"
Smiling, " iribhoo love you" I said.
" I love you more" he replied tichibva tacutter ndakudzokera kwaive nevamwe.
Takatandara hedu naTrish nyaya dzaive jahwi ndichimboita ndichidongorera phone
kutarisa nguva.
Vana vakatanga kudzoka kuchikoro vese vachingosvika vachimhanyira mama Tracy
kunze kwaTinashe akangosvikondimhoresa kunge aisandiziva kungoti ," murisei "
nekutopfuurira.
We had always been close naTinashe saka zvakatondinetsa ndikasara ndichibvunza mai
vacho," ko hanziiko naTinashe nhaiwe?"
" I don't even understand what's going on with him, he has suddenly become a loner, nguva
yake zhinji anenge akangozvivharira zvinhu mumba zvichingoshaika , iye
munozongomuona nguva yekudya , apa dyiro yaanoita Tracy!!! Ugoshaya futi kuti chikafu
chacho achiri kuenda pai nekuti he is getting thinner by the day , wamuona kuonda
kwaaita?"

62
Chapter 19

T
rish paakatanga kutsanangura hunhu hwese hwaTinashe ndakatombobvisa pfungwa
kunaTony ndakunyatsoteerera. Ndakatoona kuti there is something wrong though
ndaitadza kunyatsoziva hangu kuti chii. " wakambotaura naye here uchimubvunzawo
kuti chii maybe ane zviri kumunetsa mwana iwe uchingomutarisa Trish " I said.
"I tried asking him akangoti ane stress yemabook ndichibva ndangomusiyawo"
" mabook api form 5 iyoyi 2nd term ngaatikwanire ane nyaya uyu, baba vacho vakatii?"
" akangovaudzawo izvozvo pavakamubvunza "
" ko pakushaikwa kwezvinhu vakati chii?"
" handina kumbozvitaura ini , zvinhu zvacho zvinongoshaika zvidiki zvidiki ba Tina
havatombozvione"
" Trish ka , kunyarara ndokuti zvidii?" I asked ndichitoshaya kuziva kuti munhu anonyararira
mwana achiita zvaanoda chirudzii?
" ndinenge ndatopererwa Tracy , I don't want him to think kuti I don't love him"
Ndakaseka zvekupererwa ," saka kunyarara ndokumuda here? ipapa anongopinda
mumba achikumhoresa kunge shamwari yake wongonyarara uchiti anozoti haumude
,Trish ka uri kutomuuraya so "
She sighed ," ndichaedza hangu kutaura naye futi zvinonetsa izvi" she said.
" utaure navo vese nadaddy vacho ,tell him zvirikuitika mubatsire mwana zvisati zvaenda
kure"
She laughed hake,"ndazvinzwa mother advisor, I will try" she said akusimuka kuenda kunoita
zvemapoto , mai Thandi vaivabatsira basa vaisagarapo vaingouya vodzokera saka
zvinana kubika izvi aisara oita ega . Zvanga zvasangana nekuti munhu wacho kumapoto
ake aisada munhu even ndiripo aiti ndobikira ndega murume wangu kunze kwapaairwara.
Ndaimutandadza achibika ndichimubatsirawo nekucheka madomasi asi ziso rangu riri
kuphone kumirira call yaTony. Ndaiita kunzwa kahana kuroverera so kunge ndainoona
munhu wandave nemakore ndisina kuona.
7 dzichingokwana akabva afona achiti kumaraini kwedu. Sezvo ndaisada kuti bamukuru
vazive nyaya dzangu ndakangomuti amire kugate ikoko. Trish wo nekusada kusaririra
akabva atevera achinonditadzisa kupihwa hug yandanga ndasuwa.
Aive asina kumira pagate chaipo aive nechekure akabata envelope ndichibva
ndangoziva kuti mahustle airehwa kutsvaga basa.

63
Paakaona tabuda akabva afamba achiuya pataive nekastep kekunyara ndofunga he
wasn't expecting kuti tinobuda tese " makadii henyu maiguru " he said achingosvika ,
ndisina kana kupa introduction.
" tiribhoo bamudiki murisey " akadaira Trish wacho achiseka vachibva vangotaura taura
tunyaya turi general Trish kwakuzodzokera mugate.
Hatina kuda kumira hedu paye takabva tatotanga kufamba pasina hedu kwatainanga,
"hauna kurasika here nhaiwe "
He laughed ," ndorasika sei , kure kwegava ndokusina mutsubvu shaa "
Ndichisekawo ," mmm Tony itsumo here iyo"
" ndanga ndakusuwa Tracy , ndatopfokonyedza kusvika ndasvika plus ighetto rangu sha
makona mazhinji ndinomaziva " Tony said achindidhonzera padhuze tichibva tatanga
kufamba takadaro.
" neniwo shaa I missed you a lot" ndakayemerera ndiri paside.
Takafamba takakochekerana kudaro hedu sezvo kwanga kwasviba tanga tisina
wekunyara , kwakunomira nechekure nepamba .
Tony sighed, "Dai tiri kuChimanimani takagara hedu mumba bho bho so kwete kuswero
rumwa nemosquito soo" I giggled. " wakutobhowekana nekumba kare ?"
" kumba kwedu here , hausi kukuziva " he said laughing.
" pakaipa iwe but I think ndozvakaita kwevanhu vese , isu kwedu kunotombo bhowawo
hausikuona ndakatizawo "
" kutiza kupiko , kuda kugara padhuze nadaddy chete , you cant have enough of me ,
haudi kundishaya fullstop"
" usazvikwidze ndege ,kunombobhowa ,apa ndauya kuno so my sister's son hameno
magame ake aari kuitawo hapana kusina zvako "
" the step son?" he asked sezvo ndaive ndamboudzawo hangu mamiriro efamily yaTrish.
" yah "
" ko hanzii?"aibvunza achitambisa zvigunwe zvangu achiita zviye zvekuzviridza , I explained
sekuudzwa kwandanga ndaitwa naTrish achibva andiudza nyaya inotyisa.
" I hope haasi kuita zvemadrugs" he said ndikanzwa hana kurova.
" usadaro Tony " I said.
" its just an assumption iwe but watch him closely ,musamuitire dzungu" akataura hake
akuseka but ini ndaive ndakutonetseka.
Takangomira nguva diki achibva ati, " handei ndinokudzosera kumba handidi kuti maiguru
vazonditsamwira , ndinorambidzwa kukutora next time " aitaura achindibata ruoko kuti
tichitarisa direction yekumba.

64
" haana basa nazvo Trish mhani ,I'm a big girl ka ini handisi mwana wekuhighschool ka ini" I
said , nguva yacho yanga yandiitira pfupi.
He laughed ," iwe hândidi kuipisirwa zita rangu shaa "
Takafamba hedu mbijana mbijana kudzokera kumba kwakuzopihwa hug iye takupesana.
Ndakasvika bamukuru vatodzoka vanhu vakudya kwakunosviko joiner.
The was he was smiling pavainditarisa yakabva yatondiudza kuti ndanga ndafumurwa.
Ndakamutarisa Trish ndikazunza hangu musoro , munhu aida kumhanyira kuita makuhwa
enyaya dzevaridzi achisiya dzake dzemwana wavo. Ndaida kutovaudza ini bamukuru
nyaya yaTinashe pasina hapo kuti Tony anga ati ndiite nyaya yacho zvakadzikama.
Obviously dai ndaivaudza vaitomubvondora ipapo ipapo , if he wasn't doing it obva
azotsamwa manje zvairehwa naTrish , if he was taigona kubva tatozomupusher to the
edge.
Trish had tried talking to Tinashe again this time akanyatsoudzwa magara moyo chaiwo
,ndakaona shasha iri busy kuchema ndikabvunzaka chainetsa and she said," Tina andituka
Tracy hanzi musazvinetse henyu nehupenyu hwangu I know what I'm doing , if I want my
mum's advice kune guva ravo ndinokuziva"
Zvaitotyisa kuzvinzwa kubva kunaTinashe which made us so sure kuti ane zvaaiita chete
,chainetsa was just the evidence yekuti titsanangurire baba vacho zvisingazosimudze
muromo.
Nyaya yaTony haina kuzomboita secret , munhu wese anga akutongozviziva kuti kuna
Tony. Angaawana basa chairo Tony rake raaive akaendera kuchikoro which made me
really happy, kuonana taionana usually abva kubasa ndopaaingopfuura achindiona.
Mwedzi wanga watokwana ndiriko though ndaimboita hangu ndichimbonoona ana
mama. Ndaingonoita mazuva mashoma shoma ndotodzoka zvichitofamba zvakadaro.
Month end yacho he called early morning and said ," daddy vatambira ka babe , nhasi
gadzirira timbonodya mari "
Laughing ," tiri kuenda kupi?"
" watanga its a surprise" he said ini nekuda zvinhu ndichibva ndatomhanya mhanya
kugadzirira kuti ndibude.
Nguva diki diki anga auya tichibva tanosangana hedu takuenda kusurprise he had a car
musi wacho yaaiti ndeyeshamwari yacho. Takatanga taenda kutown ndichinzi nditaure
zvandaida , takambotenderera tenderera mbijana pasina kana chisvinu chataiita achibva
ati tichidzokera.
Chatanga tafambira chaicho ndakachishaya, patabva ndaitofunga kuti hameno activity
svinu yaaida kuti tiite , ndakatobvunza ," nhaiwe saka tanga tavingei kuno nhai "
He laughed ," saka apa urikuti ndinobhowa?"
" ahhh ibvapo mhani , ndiri kungobvunza hangu because honestly ka zvatatenga izvi
taingozviwana kuChitungwiza apa we were hear for an hour chete" ndakataura
ndichisekawo.

65
" pandati handei ndandisiri kureva kudzokera kumba ini ,we're going somewhere " he said.
" somewhere kupi ko , ngakungotaurwa nezita"
"Mmm surprises are not for Africans sure , tirikuenda kuWestlea"
" kunei?"
" tave netime tisina kumbonyatsospender time tese Tee , today I want you to myself,
kumbonoswerawo tega so , we're going to a friend's place "

66
Chapter 20

S
pending time naTony had always been fun , pese pandainzi surprise ndaitoziva kuti
ndinenge ndakarongerwa something nice. Ndakatoseka hangu wondering kuti
kwaive nei ," kuneiko kumba kwefriend yacho asi kune party?"
He laughed ndokuti, " kukara Tracy unokuwanza party yei ?"
Ndichisekawo ," aiwaka ndiri kushama kuti tiri kunonyatsonoitei chaizvo kumba kwevanhu
"
" kumbonowanawo time yedu tiri 2 zve nhai , love yemumastreets ndeye vana vadiki sha ,
tongoramba tichitenderera mumastreets netuvapfanha tunenge tuchinhafa mababy
parima sure"
" ukwane iwe " I said ndichiseka , ndaive ndatosuwawo nguva tiri tese nekuti muroad
hameno zvamaingoita so. Kupanana hug chaiyo maierekana makuvhenekwa vhenekwa
nemota zviye zvekunzi tiri kukuonai.
" sure ka , kuonana zvekubiridzira kunge tuvana" he said ndichibva ndangoseka hangu
takutaura dzimwe nyaya.
Takanosvika pamba paye pasina kana munhu ," ko zvapanenge pasina vanhu nhai?" I
said.
" vakaenda kuBulawayo kwemaparents avo" he said achitokiinura door makeys aitove
nawo.
Tichingopinda takabva tatambirwa neziphoto remuchato raive rakanyatsotarisa kudoor ,"
ndovaridzi vepano here ava " I asked zvaive pachena ndichienda paphoto riye ,it was
breath taking.
" ehe ndivo " he said ndichibva ndaenda pane mamwe kwakutozoona kuti Tony ndiye
aitove bestman pamuchato iwoyo.
" ndiye angaari musikana wako here uyu?" I asked ndichinongodzera maid of honour
wacho.
He laughed, " dzave shanje here idzi , ehe ndiye musikana wandaiperekedza naye
angaasiri hake wangu"
" haiwa ttinozviziva vanhu vanoperekedza muchato vese vanopedzisira vakutodanana
shaa" I said.
" iwe kana waidanana nevanhu hazvireve kuti tese taidanana shaa" he said achinoburitsa
rimwe zialbum remaphotos. Aitoratidza kuti anonyatsoziva zvepo nekuti anga ave
kutovhura vhura macurtaiin nemawindow after aisa album riye patable.
Ndakaseka hangu , " ahhh ini hangu ndaisaita izvozvo , futi ndakangoperekedza 2
weddings,waTrish neumwe wekuchurch "

67
"Ungagotiiko , chiuya tigare apa " he was referring to sofa revanhu 2. Ndakaenda paye
achibva atanga agara akaita kutambarara but akavhura makumbo ake zvekuti inini
ndikwane kugara pakati pemakumbo ake. Ndakagara paye achibva atanga kuvhura
maphotos aye tichiona , mazhinji aivemo aive emuchato iwayo neetuvana twavo 2.
" mukadzi akachena uyu " I said admiring the wedding gown remukadzi wacho.
" serious here , ini I prefer madress aye anotevera muviri pane ari puffy aya, senge riri pauri
nehip iro , I can imagine"
I blushed, kucommentwa kwaingonakidza so kwakuzoti hangu," mmm pamuchato
zvinotevera muviri futi here ?"
" asi chii?"
" aya akati bvuu "
" unochata wega kana zvakadaro ini ndinoda randataura iroro" akaita nharo kwakutanga
kumboitisana nharo kusvika tazoti ndaipfeka puffy makuseni ndozopfeka raaida masikati,
apa taive busy kuronga hedu muchato tisati tambotaura zvekuroorana. I still had my fears
about marriage but zvaive zvasiyana mbijana semunhu aigutsikana nekudiwa naTony.
Takaronga zvese mawedding colours , type yevenue kusvika pakutaura mazita
evakomana vaizoperekedza , iniwo ndichitaura vasikana vanguwo achibva azotaura kuti
anga atotanga kuchengeta mari yekuroora. Hana yakamborova but I hoped kuti
paizokwana mari yake ndinenge ndanyatsove bhoo.
Takambogara tichingotaura dzemuchato achibva azoti," ndane nzara ka handei tinobika
"
" iii pamba pevanhu here Tony mmm hazviite " I said ndaionawo zvisingaite kugwedebudza
gwedebudza mumba mevaridzi vasipo.
" saka ndofa nenzara here nhai? She doesn't mind havo , ndakatovaudza kuti ndirikuuya
nemuenzi vakati bho"
" iii ndinobva ndapwanya iii iwe ndisiye hangu "
" horaiti kwacho, saka handei tinotsvaga chekutenga horaiti"
" asi Tony unopenga , dai tangotengaka tichiri kuuya nhai" I said tichibva tabuda kudzokera
kutown hameno kwaaiti kunotengeswa sadza raanoda nebraai.
Takadzoka tikadya nekudyisana kwakutanga kutamba magame emulaptop yake ,
ndanga ndazomadzidziswa saka ndanga ndakugonawo saka zvainyatsonakidza though
aindidya hake most of the games. Takapedza kwakupinda mumacards , I had lots of fun
zvekuti nguva dzaitondimhanyira.
Taneta nemagame ndipo paakazondisimudza ," huya timbotamba ka nhai "
" ahhh iwe handigone kutamba ini" I said ndichiseka.
" hapana munhu asingagone kutamba shaa , simuka apo, ukutaura kuti waisaendawo
kumabash ,magig nei nei "
I laughed ,"gig ? Namai vani ivavo ?"
68
" zvinoita here kubvisa mombe dzehumai 4?"
Ndichiseka ," zvabvepi izvozvo?"
" kuvatenda zve nekundichengetera mukadzi ,ndaimuwanepi mukadzi asina kumboenda
kugig?"
" ibvapo , handiti uchatondiseka ipapa nekuti handigone kutamba "
" ndichikusekerei , ndokudzidzisa zve , chiswedera padhuze " he pulled me closer akuplayer
music paphone yake yaanga aconnecter pamaspeaker aivemo nebluetooth. Akatanga
kuridza slowly yaMeddy ndichibva ndanyatsobatirira mumashoulders ake iye akaba
muwaist , looking into each other's eyes zvekuti paye painzi. " do you believe in love"
ndaibva ndapindura nechemumoyo kuti "yes ", ndaitadza nei kuru believer when I was
looking straight in the eyes of the love of my life.
Ndaimunzwa hangu achibiridzira kufambisa maoko ake pamabums angu ndichimuignore,
payakangoperawo ndakabva ndati ," ndaneta ini Tony "
He laughed, " kuneta ? Hausati watanga yanga iri warm up iyi " aitaura akutochinja music
achiisa mangoma achibva agara pasi achiteedzera song " whine for me babes"
Ndakaseka," ukwane iwe Tony , kuwhiner kudii?"
" Teeeee" he said achiita mapuppy eyes.
Ndichibva ndaseka , ini wacho music yaindipindawo too bad ipapa ndairamba hangu but
ndaitotsva moyo , moyo wangu waitoda kutamba, kumagig tairambidzwa hedu kuenda
but taimbobiridzira kuenda kumaparty zvekuti kutamba kwacho ndaitogona asi kuti
ndainyara chete.
" let me help you then" he said achisimuka achibva auya kumashure kwangu tikatanga
kutamba tese ndichiwhiner hangu mbijana mbijana. I was lost in my own world ndichinzwa
kupindwa nemusic nekuteerera what I was feeling from kugumwa kwandaiitwa naTony
when I felt his hands get into my pants.
I really wanted to tell him to stop but ndakangogona kushama mawords akaramba
kubuda. He continued what he was doing kupedzisira dzatozovhara maziso , he turned me
around and started kissing me zvekuti dai ndaisheedzwa ndaigona kutadza zita rangu.
Everything was happening so fast zvekuti ndakazopeputswa nepain as he tried to force
himself in tatove mune imwe room , I hadn't realized kuti kiss yacho ndaiipihwa tichitofamba
kuenda kuroom iyoyo kana kuti dress rangu raive rabviswa nguvai ndakazvishaya.
" Tony uri kundirwadzisa" I said but he didn't respond hake , I just kept hoping aizoita zvelast
time obva ega.
" Tony " I called again , apa akadaira achiseka nekufemeruka at the same time but still not
stopping. He didn't give me the chance yekutaura nekuti akabva atondikisser and his kiss
took me back ndikambokanganwa regret ndakuenjoyer zvaiitika chero pain yacho
yakatozondipotsa.
" uribenzi Tony " I said when he was done achibva aseka ," ndiri benzi rako"

69
Ndakaridza katsamwa kefake kwakufutisa matama. He sat up achibva anditarisa ," I can't
believe this " he said akutarisa mablood stains and I rolled my eyes.
" sorry kani Tracy , ndakuwedzera mombe dza10" he said ndichibva ndazoseka.
" haiwawo" I said achibva adzoka kurara paside pangu and whispered , " I love you"
Takamboramba takadaro for a while ndichiudzwa nekusimbiswa netumashoko hobho
hobho but mumoyo mangu ndaizvituka but then zvaive zvatoitika ndaizochema kusvikepi
plus at least he loved me and I loved him.
Ndakazomuti abude after a while ndakuda kuchinja achibva aseka achibuda brought my
dress and left again kwakusara ndichipfeka pfeka then called him back in ndakuenda
kutoilet kunozviwiper nekuona kuti ndichiri kugona kufamba here zvandaingonzwa kuti
unotadza kufamba, I was still feeling a bit of pain but I could walk really well.
" ko bed cover revaridzi nhai ?" I said.
" Ndichavatengera rimwe " aitongozvitaura as easy as that wanike ini ndakutoita stress
yekuti vaizonzi rakaita sei. Ndagara ndaitonzwa kuzvinyarira , kunyara iye Tony
nekutonyatsonzwa kuti ndapara zimhosva hombe, I tried to not over think it but guilt
yaindikurira. Takatora cover riye ndikaripeta peta, ranga risina haro kukurisa ndichibva
ndaritakura, Tony angaakuti ndipe ndinonowacha ndikamurambira ndaizoita plan mberi
yekuti raive rabvepi.
" mira ndimboenda mutoilet madrink aye atanwa akundipinza busy " Tony said ndichibva
ndaseka , macards ataitamba anga ari ekuti adyiwa onwa drink.
Achingobuda I noticed kuti phone yake yairira though yanga iri pasilent, yanga yangosara
ka pasofa time dzatakabuda, I picked it up kwakuona kuti panga patori nekaphone kaye
kuratidza kuti pamboita missed call, I decided to answer hangu kuitira kuti isacute futi iye
munhu anga amboita imwe missed call, plus kutaura sure curiosity drove me there , ndaive
ndangotorwa moyo nezita raive rakanyorwa kunzi ," Lexy" ndichibva ndada kunzwa kuti
ndiani.
" hello " I answered with confidence ndichifamba kuenda kwaive naTony.
Instead of answering me munhu wacho akabva atotanga kutaura nevanhu vaaive navo
ikoko ," mhhh hure racho ndiro ratodaira"

End

This is the end of the free version contact +263782623403 for full version. The author values
your support.

Mai Tanny Copyright2020

70

You might also like