You are on page 1of 14

CALA 3

CHIKAMU CHOKUTANGA
NDEDZIPI NZIRA DZIRI KUSHANDISWA NEVAKOMANA
NEVASIKANA VEMAZUVANO PAKUPFIMBANA?

Runharembozha
Vasikana nevakomana vemazuvano vave kupfimbana
panharembozha vanotumirana mameseji, vachiudzana
zvinotapira tapira senzira yekupfimbana. Izvi zvasiyana
nezviitwa kare sezvo kare kwaishandiswa gwevedzi
nezvimwewo.

Mishonga
Vasikana vamazuvano vavashandisa mushonga kuti
vapfimbwe nevakomana. Vanoenda kumaporofita nekun’anga
kuti vapihwe mushonga unovaita kuti vapfimbwe. Vakomana
zvekare vanoendawo kuti vadiwe kuti vazokwanisa kusvika
pakupfimba vasikana vavanenge vachida.
Vasikana vanoshandisa mafuta ekutsvukisa kuti vapfimbwe
zvinhu zvitsva zvava kuitwa nevemazuvano. Vanozvitsvukisa
nekuzviisa mafuta ekumeso ayo anovashandura kuti vadiwe
zvekuzosvika pakupfimbwa.
Vasikana vanoshandisa mafuta anokudza nhengo dzemuviri
wavo. Vanoita izvi kuti vapfimbwe nekudiwa nevakomana
nekuti zvinonzi vakomana vanoda nhengo idzodzo.

Kunyeperana
Vakomana vemazuvano vavakunyepera vanasikana senzira
yekupfimba nayo nokuti vanenge vaona kuti vakataura
chokwadi havangazodiwa. Vanonyepa pamusoro pezvinhu
zvakaita semabasa avo, kudzidza kwavakaita pamwe
nemotokari dzavanoshandisa, vanokwanisazve kunyepa
vachiudza vasikana avo vavanenge vachipfimba nezvemari
dzavanotambira uye nenharembozha dzavanoshandisa.
Vasikanawo kana vachinge vabvunzwa nezvehumhandara
hwavo vanonyepa vachiti vachiri vakabatana ivo vasisiri, izvi
zvinoitwa kuti vasarambwe nevakomana vavanenge vada.
Zvipfeko
Vanasikana vavakupfeka nhumbi dzisinganyatsovhare nhengo
dzose dzomuviri kuti vagopfimbwa nevakomana vavanenge
vada izvi zvinoita kuti vakomana vanyanye kutarisa panenge
pakashama paye vobva vafadzwa nezvanenge vachiona
panguva iyoyo.
Vakomanawo vanopfeka nhumbi dzinodhura
pavanonopfimba vasikana kuti zviite kunge vane mari
yakanyanya. Vanopfeka marebhuru anodhura akaita seNike
neAdidas.
Kushandisa mazwi anotapira
Vakomana vemazuvano vavakushandisa mazwi anotapira
pakupfimba vasikana vavanenge vachida. Vanoshandisa
mazwi ane kakunyengera mukati vadiwe, mazwi aya anenge
akazara manyepo mukati uye achinakidza kunzwa. Musikana
anotogona kuudzwa kunzi ndokupa nyika yese iyewo
nekudzungaira achitobvumawo kuudzwa izvozvo.
CALA 3

Kutumira shamwari
Vasikana havakwanise kusvika vachipfimba mukomana vega,
vanotumira munhu anonovasvitsira shoko rerudo racho
kumukomana wavanenge vachida. Kunyangwe vakomanawo
vanozviita nekuti dzimwe dzenguva vanenge vachinyara
kunopfimba vega votumira shamwari inonotaura zvinenge
zvisinga kwaniswe nemunhu anenge ada, asi izvi
zvinokonzerawo matambudzoko akawanda.
Zvipo
Vakomana vavakupfimba vasikana nezvipo, mukomana
anonotenga zvinhu zvinoyevedza semaruva, nezvinonhuwirira
nezvihwitsi obva apa musikana. ,usikana anobva atoda
munhu nokuda kwezvipo izvi zvinenge zvichikwezva moyo asi
rudo chairwo panenge pasina.
Kushandisa mari
Vakomana kana vachipfimba vanonyengedza vasikana nemari
dzekumba kwavanobva vachinyepa kuti anenge achishanda
dziri dzake mari idzi. Vasikana vanotonyengedzwanokuti
vanenge vaona mazimari votofunga kuti munhu
anozvishandira namaoko ake izvo inenge iri yevabereki
mukomana uyu asingashande kana asina kutombopedzawo
chikoro hake.
CALA 3

Motokari
Vakomana kana vachipfimba vanoshandisawo motokari
vachiita sekunge ndedzavo izvo dzinenge dziri dzevabereki.
Vanoita sekunge vanenge vakatopedza nhamo dzese
dzepanyika nemotokari idzi vachidzishambadza kuvasikana
vavanenge vada kupfimba.
CALA 3

CHIKAMU CHECHIPIRI
NDEDZIPI NJODZI DZINOGONA KUKONZERWA NENZIRA
DZAWAPA PAMUSORO

Zvirwere zvepabonde
Zvirwere zvepabonde zvinouzwa nekusangana nemunhu
wauchiri kupfimbana naye, uye wausinga zive chimiro chake
pabonde. Kusangana pabonde uku inenge iri nzira
yekukwezva nayo moyo wemukomana kana musikana
waunenge uchipfimbana naye. Zvimwe zvezvirwere izvi
zvinosanganisira shuramatongo,
Kubatira pamuviri
Panosangana mukomana nemusikana pabonde vasina
kudzivirira, musikana anogona kubatira pamuviri. Kana izvi
zvichinge zvaitika anenge arasa hupenyu hwake nokuti
hapana anozoda kuroora musikana asisiri mhandara uye ava
nemwana. Musikana sezvo anenge ava nemwana anenge
asisakwanise kuenderera mberi nechikoro kuti ave munhu
akadzidzawo. Vamwe kana vachinge vabatira pamuviri
vanoenda vanonobvisa pamuviri apa zvisiri pamutemo
wenyika, izvi zvekare zvinokuvadza chibereko. Kubvisa
pamuviri kunoita kuti kana wava kuzodawo kuita vana
waroorwa utadze kubata pamuviri izvi zvinozokonzerawo kuti
vanhu varambane muwanano pamwe nekunetsana kukuru.
Unokwanisa zve kubatira gomarara remuchibereko iro rinoita
ubviswe chibereko utadze kuitozoita vana, kana kuti gomarara
iri rikanonoka kuzivikanwa unokwanisa kufa.
CALA 3

Kutambiswa
Kana ukangobvuma kupfimbwa nevakomana vese vese
semusikana unogonawo kutambiswa. Mukomana
anongosangana newe pabonde obva atokusiya apa iwe
semusikana unenge wakatonyura murudo, izvi
zvinozokonzerawo kuti munhu afungisise agozosvika
pakuzviuraya.

Kutora zvinodhaka
Vakomana kana vachinge varambwa kana kutadza kupfimba
vanonotanga kunwa nekuputa zvinhu zvinodhaka izvi
zvinouraya hutano hwavo nekutozosvika pakuvauraya nekuti
miviri yavo inenge isisina kusimbawo kuti irwise zvirwere.
Kutora hupenyu hwako
Vasikana kana vakanyanya kufungisisa vanowanzopedzesera
vakutora hupenyu hwavo nekuti anenge avakuona sekuiti
hapana chekuraramira sezvo munhu waanenge achida
anenge amuramba kana kuti apfimba shamwari yake
yaanenge atuma kundomupfimbira mukomana.

Kubiwa nekutengeswa kwevanasikana


Mukupfimbana nevanhu vaunenge usingazive vanokwanisa
kukunyengedza wotobiwa woendeswa kunyika yausingazive
kunotengeswa woitwa pfambi yeko. Unokwanisawozve
kuurayiwa wobviswa musoro nedzimwe nhengo dzomuviri.
CALA 3

Kushaya chimiro
Ukasangana nemukomana pabonde wobatira pamuviri izvi
zvinoshayisa chimiro munharaunda nokuti unofanirwa
kuzvichengetedza semusikana wozoroorwawo uri musikana
akazara ane humhandara hwake.
Kutorerwa musikana waunenge uchida nemunhu waunenge
watumira
Kana ukatumira munhu kana Shamwari yako kuti akupfimbire
musikana kana mukomana waunenge uchida unogumisira
watorerwa nekuti anenge avakumudawo munhnu wako
iyeye. Izvi zvinorwadza uye zvinokwanisa kukonzera kuti
munhu azozviuraya.

Kudzingwa kumba
Kana usisina chimiro warasa hunhu vabereki vako
vanokwanisawo kukudzinga kumba woshaya pekugara
wogumisira wavakutora zvinodhaka. Vanokwanisawozve
kukudzinga nekuti unenge wabatira pamuviri wonzienda
kumuridzi, muridzi orambawo kukuchengeta.

CALA 3
CHIKAMU CHECHITATU
NDEZVIPI ZVINGAITWE KUDEREDZA MATAMBUDZIKO
ANOUNZWA NENJODZI DZAWAPA PAMUSORO?

Kunamata
Dzimwe njodzi nedzimwe nzira dzekupfimba hadzina
kururama mumaitiro nemafungiro. Pfungwa dzekuzviuraya
zvinogonawo kupedzwa nemunamato wakasimba uye pamwe
nekuenda kumaporofita vakuru kuru kumakereke edu, izvi
zvinoderedzawo vana vechidiki vanozviuraya. Vabereki
vanofanirwa kutaura nekunamata nevana vavo kuitira kuti
vasafungisise.
Vabereki vanofanirwa kuita nguva nevana vavo
Vabereki vamazuvaano havasisina nguva nevana vavo izvi zviri
kukonzerawo kuti vave vanhu vasina hunhu vane tsika
dzakarasika dzisingayemurike. Vana ava anenge vasina
anovada kudzimba dzavo vobva vatanga kutsvaga anovada
kunze. Vana ava zvakare vanenge vasina anovaraira munhu
vaotevedzera tsika dzekunze. Vabereki vakawana Nguva
nevana vavo vadzivirira matambudziko ese aya. Vabereki
vanokwanisa kuenda nevana vavo kumafura mhepo
vachimbo kururkura navo nezvehupenyu.
Kushandisa zvinodzivirira pamuviri
Vasikana kana vachinge vazokundikana kuzvibata vanofanirwa
kushandisa zvinodzivirira pamuviri kuti vasabata pamuviri
vasati varoorwa. Vanokwanisa kubayiwa kana kuita mapiritsi
ekunwa, vanokwanisawo kushandisa makondomu.
CALA 3
Kudzidziswa
Kudzidzisa vana vechidiki tsika dzechishona kunoita kuti
mamwe matambudziko anosanganikwa nawo nevechidiki
panyaya dzekupfimbana aderedzeke. Tsika dzechishona
dzinotidzidzisa kuti kana mukomana nemusikana
vachipfimbana havafanirwe konana varivega izvi zvinodzivirira
kuti vasangana vose pabonde.
Kutevedzera tsika nemagariro echishona
Tsika dzedu dzechishona dzinotidzidzisa kuita hunhu
hwakanaka pamwe nekuzvibata pavanhu. Kutevedzera tsika
idzi kunoderedza dzimwe njodzi sekubatira pamuviri, kufunga
pfungwa dzekuzviuraya, kuzviuraya nezvimwewo. Tsika dzedu
dzinoita kuti vechidiki vavevanhu vanotarisika nekuyemurika
netsika dzavo munharaunda dzedu.
Kuzvishandira nekuzviitira zvinhu
Sevanasikana kuti tisatambiswe tinofanirwa kudzidzira
kuzvishandira nekuzviitira zvinhu nemaoko edu kuti kana
mukomana aching akuda kuzopfimba anotombozeza nekuda
kwezvinhu zvaunenge uinazvo. Ukashanda wega unokwanisa
kuzviitira zvinhu zvizhinji sekugadzira musoro nenzara pamwe
nekunodya kunzvimbo dzinodhura.
Kutaura chokwadi
Vanakomana vanofanirwa kudzidziswa kubva muudiki hwavo
kutaura chokwadi. Munhu akadzidziswa achiri mudiki
haambosiyane nazvo kana achinge azokura haazosiyane
nazvo. Kutaura chokwadi kunokurudzira hunhu hwakanaka
munharaunda pamwe nechimiro chakanaka pavanhu.
CALA 3

Kushandisa zvinodzivirira zvirwere zvepabonde


Zvirwere zvepabonde zvinodzivirirwa nenzira dzakawanda
chaizvo. Kusaenda pabonde inzira inokurudzirwa chaizvo
kune vechidiki izvi zvinoita kuti uchengetedze umhandara
hwako kusvika wavakuda kuroorwa kana kuroora, asi kana
zvichinge zvakukunda unotarisirwa kushandisa makondomu
ayo adzivirira pamuviri nezvirwere zvinobatira pabonde.
CALA 3
CALA 4
CALA 2
CALA 1

You might also like