You are on page 1of 12

MISAMBO YEKUTAURA

SHONA
Ordinary level

Bumbiro idzva redzidzo


(new curriculum)

Misambo yekutaura
 Tsika dzeChiShona dzinoti vanhu vanofanira kushandisa mutauro unoenderana neukama hwavo
nemazera avo.
 Mutsika dzedu isu VaShona, tine matauriro atinoita kuvanhu vakasiyana .
 Hatingoti chero matauriro ataita kumapoka akasiyana evanhu, zvese nenzvimbo yatinenge tiri.
 Tinofanira kuziva misambo yose iyi kana tainzwa ichitaurwa.
 Tinofanira kugona kudoma misambo iyi kana tainzwa ichitaurwa.
 ChiShona chinoti munhu anofanira kushandisa musambo unotarisirwa panguva dzose
zvichienderana nokuti waanenge achitaura naye anomuudza chii.
 Musambo wega wega unofanira kuenderana nemazera evanhu, zviiitiko uye nenzvimbo
dzavanenge vari.
 Izvi zvinotsigirwawo nepfungwa yaVaHodza yekuti:

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 1


 Chinodikanwa kunyanya ndechokuti, panodikanwa kuti munhu azive nzira dzekutaura
nadzo kuvanhu dzine rukudzo, uye dzinoteverana nezvirongwa zvetsika dzavo, tsika
dzinoti munhu azvirereke kana achitaura kuna amai vake, vambuya kana vatezvara,
ambuya vatete kana vasekuru, sekuru kumuzukuru, kana iyewo muzukuru kuna sekuru,
mukoma kumunin’ina, iyewo munin’ina kumukoma, hanzvadzikomana kuhanzvadzisikana,
iyowo hanzvadzisikana kuhanzvadzikomana, shamwari kune shamwari, sahwira kuna
sahwira, vatezvara kuvaroora vavo, ivowo varoora kuna vatezvara navamwene vavo,
vakwasha kuna vatezvara navambuya vavo, ivowo vatezvara navambuya kuvakwasha
vavo.

Misambo yokutaura muChiShona ingaiswa mumapoka anoti Chisekedzani, Chinyarikani, Chitorwa,


Chisahwira, Chizukuru, Chiramu, Chishamwari, Musambo wekuudza, Misanganiswa yemisambo,
Musambo wekubata maoko, Musambo wemhiramudzimu, Musambo wekukumbira, Musambo
wepadare, Musambo wemudare reparamende, Musambo wemuhondo, Musambo wakakodzera,
Musambo wepanhimbe, Musambo weparunhare, Musambo wechivhevhano, Musambo wekusuma
doro panhimbe, Musambo wechidhorobha, Musambo wechizvinozvino, Chibhende neChiroora.

Chisekedzani

Uyu musambo wekutaura unowanikwa wakasununguka chose. Unowanikwa pakati pavanhu vakaita
seshamwari neshamwari, vanhu vanogona kutamba chiramu savanababamukuru namainini, ambuya
kana sekuru nemuzukuru wavo kana pakati pemadzisahwira, sezvicharatidzwa kumberi. Pane
mhandonyana dzinoti chisahwira, chishamwari, nechiramu. Mhandonyana idzi dzichataurwa
muzvikamu zvinotevera.

Chisahwira

Uyu musambo nemaitiro unowanikwa pakati pemadzisahwira . Madzisahwira vanhu


vakasunungukirana chose pamagariro avo. Uhwu hukama hwekuitirana zvakafanana nokuti vese
vanoedzana vanasahwira. Usahwira hwunonyanyoonekwa pakuvigirana vafi patsika dzeChiShona.
Kazhinji kacho ushamwari pakati pevanhu ndihwo hwunozokura hwoshanduka hwova usahwira
zvichibva nemwero weushamwari hwacho.

Ushamwari pakati pavanatateguru vemadzinza maviri ndihwo hunozova usahwira hwevana


vemadzinza aya. Musiyano unovapo pakuti munhu anogona kuva neshamwari yake ari ega asi
haagoni kuva nasahwira wake ega. Usahwira hunowanikwa pakati pemhuri mbiri.

Masahwira anotarisirwa kubatsirana panguva dzose dzingadiwa rubatsiro nomumwe. Izvi ndizvo
zvinoita kuti pave nemutauro wekuti usahwira hunokunda ukama. Munhu anotarisira kuti kana
akaenda kundochema nhamo yake kuna sahwira wake haadzoki asina chinhu.

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 2


Sahwira ane zvaakanakira. Sahwira akanakira kuti anotarisirwa kuviga sahwira wake, kunyangwe
pane zvimwe zvinenge zvakakanganisika paukama hwavo, hazvizombomutadzisa kupinda nasahwira
wake muguva. Sahwira aizodonongodza nhunha dzake musi wokurova guva, hama dzasahwira wake
dzichinzwa. Parufu sahwira anogona kutevedzera zvaiitwa nemufi kuitira kuti rufu rwusaremera
vafirwa.

Usahwira hune divi rahwakaipira rekuti sahwira anotaura mashoko ose anosanganisira anodzimba
moyo, asi hapana chinogona kuitwa nasahwira anenge achiudzwa magaramoyo nekuti iyi ndiyo tsika
yemagamuchidzanwa. Tinoona kutukana kweusahwira nepaviri.

Pane chinonzi chituketuke icho chinoitwa nasahwira achitaura zvaanenge achiziva kuti sahwira wake
haana kana kuti haazviiti. Vanhu vanenge vachinzwa vanenge vachitozivawo kuti uku kungotaurawo
chete. Sahwira anogona kunyomba sahwira wake achimuti inyope yemakoko asi vanonzwa
vachinyatsoziva kuti ari ari kutaurwa nezvake ihurudza chaiyo.

Mhando yechipiri yekutukana uku inoitwa apo sahwira anonyatsotaura chokwadi pamusoro
pasahwira wake. Dzimwe dzenguva hama dzasahwira dzinogona kukwenyera sahwira kuti afumure
zvakaipa zvinenge zvichiitwa nehama yavo zvakafanana nekuva nemishonga yekutorera vamwe
zvirimwa mumunda, divisi, mubobobo kana uroyi.

Sahwira anogona zvakare kufarisa zvakapindiridza otaura zvinonyadza pamusoro pasahwira wake
vanyarikani vanyakutukwa varipo. Sahwira anogona zvakare kutora hari dzedoro kana kubata mbudzi
kana huku otogocha neshamwari dzake. Izvi hazvifaniri kugumburisa sahwira vaitirwa izvi nokuti
ndiwo maitiro amadzisahwira.

Usahwira ukama hwakasununguka saka vanotaura vachishandisa mutauro wekusaremekedzana


sechisazitasingwi iwe.

Chizukuru

Uyu musambo wekutaura nokuita unowanikwa pakati pasekuru, hanzvadzi yaamai nemuzukuru
mwana wehanzvadzi yavo. Ambuya, mukadzi wasekuru, vanoshandisa musambo uyu nemwana
wehanzvadzi yemurume wavo, angava mukomana kana musikana. Muzukuru anogona kutamba
chizukuru kumadzisekuru nemadzimbuya ake ose ekwaamai vake.

Musambo uyu wakasununguka chaizvo asi muzukuru anofanira kutaura achikudza vanasekuru
nanambuya vake. Muzukurukomana anogona kutaura achiudza sekuru vake kuti anogona kuvatorera
mukadzi wavo, ambuya vake. Isu sevadzidzi tinofanira kuziva kuti izvi zviri patsika yedu, nokuti
ambuya mukadzi anogona kutorwa panhaka, kana patsika yekupindira iyo yaiitwa kana mumba
masekuru maita dambudziko rekushaya mbereko.

Muzukuru anogona kuenda nemusikana wake kana mukomana kwanambuya nanasekuru vake. Apa
ndipo panobuda pachena kuti chizukuru chine utukwa sezvo painyombwa muzukuru chaizvo. Kana

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 3


ari musikana anenge aenda nemukomana wake kwanasekuru nambuya anonyanyotukwa mukomana
wacho nokuti nayewo anotorwa nemuzukuru.

Kana ari musikana anenge aendwa naye kwavanasekuru nanambuya vemukomana wake, anotukwa
navanambuya zvichibva pakuti vanenge vachiti anoda kuvatorera murume wavo. Muutukwa uhwu
hamushandiswi chokwadi chiri pavazukuru sokuti kana pane ane musoro muhombe vanasekuru
navanambuya havatauri nezvemusoro uyu , sokuti musorobhangu kana kuti musorowegomo.

Vanotsvaga zvinenge zvisipo pavazukuru vachida kuzadzikisa tsika dzeChiShona dzeutukwa.


Utukwa uhwu hwunoitirwa kuti vazukuru vaone kuti vanofarirwa pamusha wavanasekuru nambuya
vavo. Vazukuru havatarisirwi kutsamwa panenge pachiitwa utukwa uhwu nokuti vanoziva kuti ndiyo
tsika yechivanhu.

Kana pasina vanyarikani vevanhu ava hapana chinonzi hachitauriki. Zvose zvinhu zvinotaurwa
sezvazviri. Chizukuru hachizongoperi neutukwa chete. Vanambuya navansekuru vanozowana nguva
yavanogara pasi nevazukuru vavo vachivaudza nezveupenyu. Sekuru naambuya vanotarisirwa kuita
basa rakangofanana neratete kumuzukurusikana, kana babamudiki kumukomana, rekutsiura zvimwe
zvisingakwanisi kuitwa nevabereki nekuraira zvekubata dzimba zvakanaka. Vazukuru vanotarisirwa
kusununguka pamba pasekuru vavo zvokuti kana ipwa dzakasungwa mumunda vanotyora vodya.

Chishamwari

Aya matauriro nemaitiro anowanikwa pakati peshamwari neshamwari. Musambo uyu unowanikwa
pakati pevanhu vasina ukama vanowirirana. Ushamwari hunowanikwa pamazera ose evanhu uye
udzamu hwemutauro hwavanoshandisa hunoenderana nemazera evanhu vari kushamwaridzana.

Muupenyu munhu ane mararamiro ekuzvisarudzira shamwari yake zvichibva pane zvaanotarisira.
Vasikana vanowanzosarudza shamwari dzechisikana, avawo vakomana vachitambawo nevamwe
vakomanawo. Munhu anowanzofarira kutamba nevasikana iye ari mukomana anotorwa serema
achidaidzwa kuti jengavasikana.

Chishamwari musambo usina rukudzo, saka shamwari dzinotaurirana dzichishandisa manzwi asina
rukudzo akaita sechisazitasingwi iwe. Shamwari dzinotarisirwa kuudzana zviri kutsi kwemoyo
nekupana mazano anovaka. Dzinodzorana pane zveupenyu dzichishandisa nzira dzose
dzinosanganisira kutukana vachiudzana chokwadi, iri nzira yekugadzirisana, sokuti shamwari yaigona
kuti, “Uitewo uchigezawo iwe.” Ichi chinogona kuva choikwadi, uya audzwa obva agadzirisa
paanenge achitadza.

Shamwari dzinotarisirwa kuvimbana nekubatsirana pane zvinganetsa muupenyu. Shamwarikomana


dzinogona kutumana kundogwevedzera musikana. Izvi zvinogona kuzoita kuti shamwari yatumwa iyi
inopedzesera yachenyura mumwe wayo, kureva kutaura zvakaipa pamusoro peshamwari yamutuma
iyi, nechinangwa chekutopfimba musikana uya. Mukuchenyura uku, shamwari yatumwa inogona

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 4


kutaura kuti shamwari yamutuma iya inoruta, kana kuti kumba kwavo kune ngozi, inoba kana kuti
inomboita ichipenga.

Izvi zvinoreva kuti nyakutuma anogona kusazodiwa, gwevedzi riya rotodiwa nemusikana. Ushamwari
hwakanaka hwunogona kupedzesera hwakura hwozova usahwira. Chakakosha ndechekuti vanhu
vashandise mutauro unoenderana nenzvimbo, nguva uye ukama hunenge huri pakati pavo.
Hazvizonaka kuti shamwari neshamwari vataure mutauro usingaite pane vanyarikani, vanofanira
kuziva pekugumira. Shamwari neshamwari vanoudzana zvinhu zvakavandika zvakadzika-dzika
zvepasi pemoyo. Vanotandadzana, kubatsirana mumatambudziko, kurayana nekupanana mazano.

Muenzaniso:

Panashe : Nhasi wauya neiko shamwari? (Achivhura nhava yaTapiwa) Tapiwa : Asi
unotoda kundinzwa zvako shamwari? Ndakazotanga rinhi
kuuya ndakagadzirira zvokudya kuchikoro? Mainini vangu inga
unovaziva wani kuti vanosarudza kupa imbwa zvekudya pane kupa inini
kuti ndiuye nazvo kuchikoro.
Panashe : Shamwari kuna Mwari kudenga ari kuona kutambudzika kwako.
Zvichapera kana wadzidza. Vachatozokuchiva wabudirira
muupenyu. Chiuya udye zvandauya nazvo, ndauya nezvakawanda
(Anovhura chigaba chake votanga kudya).

Chinyarikani

Chinyarikani mutauro nemaitiro anoshandiswa nevanhu vasina kusunungukirana vanoremekedzana,


vanonzi vanyarikani. Vanhu ava vanofanira kuziva pekugumira kana vachikurukura nokuti vanotaura
zvine ruremekedzo, zvisina kurovana maoko kana kuzemberana. Vanotarisirwa kupfeka
zvakadzikama kana vari pamwe chete. Havagone kukurukurirana nyaya dzose nedzinonyadzisa.

Shamwari dzavo nemadzisahwira avo vanofanirwa kuremekedza ukama uhwu, nokudaro


havanemerane vachipfuuridza pane vanyarikani. Chese chinotaurwa nezvacho unotanga
wafungisisa usati wataura uyezve tinokurudzirwa kuzvirereka kana uriwe mudiki pamusambo uyu.

Chinyarikani chinowanikwa pakati pevabereki nevana vavo, vamwene nemuroora, tezvara


nemuroora, tezvara nemukuwasha, mbuyawasha/ambuya nemukuwasha, mukoma nemunin’ina,
hanzvadzi nehanzvadzi, mwana nevabereki, vanamukurungai nevamwewo. Mutsika nemagariro edu
zvakakosha kuti tive nehwaro hwekuziva nzira dzokutaurirana nadzo dzine rukudzo.

Ukama pakati pevanhu vataurwa pamusoro apa hahuna kufanana nehwevanhu vatsanangurwa
pachisekedzani. Mukushandiswa kwemusambo uyu, vatauri vanoshandisa mitupo nezvidao.

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 5


Vanoshandisa zvakare mashoko anoratidza rukudzo sokuti, “Makadii Unendoro-o?” kwete
“Wakadii?” zvingawanikwa muChisekedzani. Kushandiswa kwematauriro nemaitiro emusambo uyu
hakubvumidzwi kuti vatauri vataure vakanyanyosununguka sezvingaitika pakati pevasekedzani.

Kana vari mukuwasha nambuyawasha, pane chinyarikani chakanyanya. Havabvumirwi kumhoresana


nemaoko asi kuti mukuwasha anofanira kubvunza mufaro mbuyawasha vake akachonjomara
kwakadaro kwakadaro uko, avawo mbuyawasha vanotarisirwa kudaira mukwasha wavo vachiuchira
vakagwadama nechekwavowo uko.

Mukwasha anotarisirwa kuita zvadomwa pamusoro, achirova maoko, rinonzi gusvi, kuratidza
kuremekedza mbuyawasha. Mitupo nezvidawo ndizvo zvinoshandiswa pakati pambuyawasha
nemukwasha. Mbuyawasha vanoshandisirwa mitupo wevarume vavo (vanatezvara vemukuwasha
paChiZezuru), sokuti:

Mukuwasha : Kwaziwai Mazvimbakupa-a?

Mbuyawasha : Ndokuno, Wamambo-o.

Mukuwasha : Makadini Mazvimbakupa-a?

Mbuyawasha : Tiripo kana makadini Wamambo-o?

Mukuwasha : Tiripo zvedu. Vakadini vamwe kwamabva?

Mbuyawasha : Vanofara havo, regai regai

Mashoko ekuti , “regai regai” ari pamusoro anoratidza matauriro ekunyatsorereka inzwi uye
kunyatsozviterera kana uchitaura kuti mutauri asataura zvisingatarisirwi kumunyarikani. Vanhu ava
havatarisani mumaziso nokuti havafaniri kunyanyojairirana sezvo zvichityirwa kuti vaizogona
kupfimbana, vakapedzesera vaita chinokuma sezvo vasina ukama. Padare ramambo ndipo pamwe
panowanikwa musambo uyu nekuti mutauro nemaitiro unowanikwa ndeekuremekedzana.

Chitorwa

Chitorwa chinowanikwa pakati pevanhu vasina ukama hwataurwa pamusoro. Vatorwa vanofanira
kuremekedzana nguva dzose. Mutorwa munhu anofanira kunyarwa nekukudzwa. Haaitwi
chisekedzani naye. Matauriro nemaitiro anowanikwa mumusambo wechiesekedzani haashandiswi
mumusambo weChitorwa. Kutukana, kunemerana, kutsvinyirana kana kutandanisana kungaitwa
muChizukuru kana muChiramu, hazviitirwi mutorwa. Rukudzo pakati pevatorwa runogona kuratidzwa
nekushandiswa kwemitupo nezvidawo mukubvunzana upenyu. Vatorwa havashandisirani mazita
chaiwo pakutaurirana nokuti izvi zvinonzi hazvina rukudzo. Kana vasingazivane mitupo vanotofanira

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 6


kutobvunzana. Vatorwa vanoshandisa manzwi ose anoratidza kuremekedzana. Vanobvunzana
upenyu vachiombera.

Kuudza

Musambo uyu unoshandiswa pakudzidzisa vanhu zvinhu zvavanotarisirwa kuti vaudzwe.


Pamusambo uyu, vanhu vanogona kungoudzwa vakateerera vasina zvavanotaura kana kuti
mumashure mekuudzwa. Vanozobvunza mibvunzo.

Kubata maoko

Kana munhu achisvika panhamo anotarisirwa kuchema zvakanyanya kana iri hama yepedyo.
Vanhukadzi vanowanzowanzosvika panhamo vachichema vozobata maoko. Vanhu vanotarisirwawo
kuti vazvirereke vachibata maoko kumhuri inenge yafirwa. Hazvitarisirwi kuti parufu, uchibata maoko,
utauare mashoko anoenderana nekufara iwe usiri sahwira kana muroora.

Chiramu

Musambo wechiramu waiitwa nevanin’ina vemukadzi vasati varoorwa nevana vehanzvadzi vaitamba
chiramu nemurume watete kana wemukoma. Kumurumewo vanin’ina vemurume vasati varoora
vaiita chiramu nanamaiguru. Vanhu ava vanotamba vachinemerana uye kusekedzana vachitaura
kana zvinonyadzisa , asi paisazoita madarikanhumbi zvekuzosvika pakuitisana pamuviri.

Asi kune nhubu dzinopfurikidza izvi dzopedzisira dzanhumburisa vanamainini. Kutamba uku
kunowanzoitirwa kuti varamu vafare pamba pababamukuru nokuti mabimbiri aya anonyanyoitwa
kana vanaamainini vashanyira babamukuru. Izvi hazvibvumirwi kuitwa kana vanyarikani varipo. Itsika
inozivikanwa kuti inoitika asi haifaniri kuitwa pamberi pevanhu.

Mabimbiri haaitwe nemukadzi wemukoma sezvo izvi zvichirwisanwa nepfungwa yeChiShona inoti
mukadzi wemunhu anofanirwa kuremekedzwa sambuyawasha. Mukadzi wemukoma anogona
kutamba navanababamudiki vanin’ina vemurume wake. Ava vanogona kutobviswa mabhurukwa
kana vachiri vadiki. Uku kunenge kuri kungozadzisa tsika yeChiShona chete nokuti hapafaniri
kuzoitwa zvinhu zvinonyadzisa. Varamu vanotamba vachinemerana vachiudzana kunyangara,
kusviba, mateya, mahobi nezvimwe zvakadaro. Zvekunyombana zvese izvi zvinoitwa mukuseka,
hapana anofanira kutsamwa nyangwe akatonyombwa nechinhu chechokwadi. Vanogonazve
kutamba vachidirana mvura nekudzingirirana. Kutamba uku kunofanira kugumira ipapo pasina
zvekuzopanana mimba.

Babamukuru vaigonawo kupa mainini mazano kunyanya panyaya yewanano. Vaikwanisa kudzidzisa
kana kutsiura mainini unhu hwavanofanira kungwarira pavanhurume zvakaita sekugara vakachena,

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 7


kubikira murume nenguva, kufarira hama dzake nekusaita hunzenza. Mukutsiura kwavo, vaiita sejee
asi ivo vachitorevesa. Izvi zvaiita kuti mainini vazive chakanaka nechakaipa muwanano yavo.

Mhiramudzimu

Musambo wemhiramudzimu unotaurwa nemunhu anenge akasvikirwa nemweya wemufi nevanhu


vapenyu vemhuri kana vedzinza rake. Vapenyu vanoshandisawo musambo uyu pakudetemba
kumidzimu yavo uye pavanotaura nemudzimu wakasvika. Mukutaura kwavo kunyangwe svikiro riri
mwana mudiki vanorikudza vachiti Vasekuru kana ari mukadzi vanoti Ambuya kana Vatete.
Kunyangwe mukadzi akasvikirwa nemunhurume kana achitaura akasvikirwa vapenyu
vanotomuombera mukadzi iyeyu vachiti, Vasekuru kukudza zitateguru rinenge richisvika paari.
Pamwe pacho vanotaura mutauro wakahwanda vachidimikira mukutaurirana, asi vanenge
vachinzwisisana.

Kukumbira

Musambo uyu unowanzoshandiswa kana vanhu vachikumbira mudzimu kuti vana vanzwirwe tsitsi
mushure mekunge vakanganisa kutaura vari musango rinoera kana vachinge vatetereka.

Heuno muenzaniso wekukumbira kuvadzimu;

Eee Mhukahuru! (Vachiisa maoko)


Madzitateguru maticheka nerakagomara
Tisu vana venyu tauyawo
Musatikande jecha kumeso
Itirai vazukuru venyu chitetatsiye
Mugoni wepwere ndeasinayo
Varasa muromo mumasango menyu,
Inga vakuru vakati,
Kuziva mbuya huudzwa
Kusaziva ndiko kwavaparira
Vakakurira muvangerengere
Havana kuziva zvemumasango
Kambudzi kuzvarira pavanhu
Kuti nditandirwe imbwa
Tinochema nemi mhukahuru

(Vobva vaombera nekuputa fodya yainge yasara muruoko)

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 8


Wepadare

Mudare ramambo maipindwa nemakurukota amambo, machinda amambo, vapari vemhosva


nevanhuwo vaingouya kuzoteerera. Mudare ramambo jinda guru raitanga nokukwazisa mambo.

Jinda : Ngatiisei maoko kuna Changamire.


Vanhu : Dzenyama chirombowe (vanhurume vanorova gusvi vakadzi
vanoombera nokupururudza)
Mambo: Ndokuno kwakadiiwo kwabviwa.
Jinda : Nhasi mudare muno mune mhosva nhatu.
(Aitaurira mambo mhosva idzi nepapfupi vozotanga kudzipira kudare imwe neimwe.)

Mudare reparamende

Vanhu kana vari mudare reparamende vanotarisirwa kuti varemekedze mutungamiriri wedare.
Mudare iri ndimo munokurukurwa mitemo ingade kushandurwa kana kuvandudzwa. Vatauri
vanotaura kana vapiwa mvumo nemukuru wedare. Mutauro unoshandiswa unofanira kuva
nekuremekedza mukuru wedare. Zvisinei kune vamwe vadare vanoita hasha zvekupedzisira voda
kurwa mudare.

Muhondo

Varwi verusununguko vaive nemutauro wavo wavainzwana kana vachitaurirana pagungano


nevemumusha, vabereki anachimbwido nanamujibha. Vaiti vakati,”Chatsva,” zvaireva kuti muvengi
asvika, munhu wose anofanira kupinda mukavha. Pamwe wainzwa vachiti, “Pmberi nemugoti,”
kwaivewo kusimudzira vabereki kuti varambe vachiita zvakanaka zvokuvabikira. Pamwe wainzwa
voti, “Chikopokopo chamhara,” muvengi anenge ari pedyo. Vakaonazve kandege kainzi Karumanya
vaifanirwa kupinda mukavha, nokuti kaiuya kuzosora, mumashure mako maizotevera ndege dzaiuya
kuzoparadza.

Panhimbe

Panhimbe panotaurwa zvakawanda pamusoro pevaiti vebasa. Panoimbwa nziyo dzokurumbidza


vanoita zvakanaka, uyewo panoimbwa nziyo dzokutsiura vanenge vachikanganisa. Munhu
anodurirwa chokwadi chezvaanoita kana tutsika twakaipa tunokanganisa magariro evamwe. Vazhinji
vanoudzirwa munziyo vamwe vachiita zvokubhendekerwa zvavanoita, asi vachinzwisisa zvavanenge
vachitsiurwa.

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com Page 9


Parunhare

Parunhare panotaurwa nevanhu vane ukama hwakasiyana siyana uye mazera akasiyana siyana.
Zvakakosha kuti munhu achitaura parunhare akoshese ukama hwemunhu waari kutaura naye.
Runhare runoshandiswa kutaura nyaya nehama neshamwari kana zvebasa. Naizvozvo kana munhu
achidaira runhare anofanira kudaira zvine ruremekedzo kana asati aziva kuti ari kutaura nani.
Zvakakoshawo kuzivisa wauri kutaura naye kuti ndiwe ani uye kumukwazisa. Kana mazivana ndipo
paunozoziva kuti woshandisa musambo upi unoenderana nenyaya kana ukama hwenyu.

Muenzaniso

Tendai : Makadii zvenyu? Pamba paVaChimuti, ndiTendai.

Izwi : Uri Seiko Tendai? Ndini Tatenda.

Tendai : Ah ndiwe shamwari! Kwakadiiko kumba kwenyu?

Chivhevhano

Musambo wechivhevhano musambo unoshandiswa nevanhu vari murudo kana vari kupfimbana.
Kana ari mukomana ari kupfimba musikana anoisa mazwi anotapira anokwezva moyo wemusikana.
Kana orumbidza chimiro chemusikana, chokwadi mwana wevanhu anonyungudika audzwa
mashoko erudo.

Achienda kunoona musikana, mukomana anonyura muzvipfeko zvekukwezva musikana. Vamwe


vanosvika pakukwereta zvipfeko kushamwari kana kuhama kuti vakwezve moyo wemusikana.
Vamwe ndivo vanoendesa vadiwa kunzvimbo dzekudyira-dyira kana kuvatengera zvipfeko
zvemazuva ano zvinofadza.

Kusuma doro panhimbe

Panhimbe painwiwa doro, asi doro iri raisaitwa chinwiwe nwiwe kana jerawachera. Rainwiwa
kuchitevedzwa zvisumo zvedoro repanhimbe. Mazita ehari dzedoro dzaiburitswa aivaratidza kuti
vave pachikamu chipi.

Chidhorobha

Matauriro evana mazuva ano haachaburitsi ChiShona chemandorokwati. Vave kutaura chidhorobha.
Ivo pachavo sevana vakurira mudhorobha vanenge vachinzwisisana zvavanenge vachitaura. Iwe

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com 10


munhu mukuru kana munhu anogara kumusha unogona kutadza kunzwisisa kuti vari kuedza kutaura
kuti kudii? Vamwe vangatokunyeya uripo ugotadza kuzvinzwa.

Page

Chiroora

Kazhinji musambo uyu unobuda kubva kuvaroora kana pachinge pafa munhu mukuru. Varoora
vanofamba mukati mevanhu parufu vachitsvaka vanhu, kazhinji hama dzemushakabvu. Varoora
vanenge vachitaura, kuimba zvese nekutevedzera maitiro emufi achiri mupenyu.

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com 11


Page

Compiled by Dowera E 0774517718. evirut@gmail.com 12

You might also like