Professional Documents
Culture Documents
Ndichaitasei PDF
Ndichaitasei PDF
BY
JERIMIAH MANYONI
[CHIFURIRO]
CHAPTER 1.
END OF CHAPTER 1.
CHAPTER 2
CHAPTER 4A.
CHAPTER 4 B.
CHAPTER 5
CHAPTER 6.
CHAPTER 7.
CHAPTER 8
CHAPTER 9.
CHAPTER 10.
CHAPTER 11..
CHAPTER 13.
CHAPTER 14
CHAPTER 18.
CHAPTER 20.
CHAPTER 22.
CHAPTER 25.
CHAPTER 26.
CHAPTER 28.
CHAPTER 29.
CHAPTER 30
CHAPTER 31.
CHAPTER 33.
CHAPTER 34.
CHAPTER 35
.
Biggie zvaakakotsora ari mu bin muye.
Mapurisa
akananga pabin paye vakatendekera pfuti
ndokuvhura kuvhura bin. Mudhara Biggie
dzakanga dzongoti maziso boi boi sechihuta
chabatwa pamusungo. Aizodii iye atokombwa
nanamugaradzakasungwa.
"Eee! Vakuru! Chii chiri kumboitika? Muri
kudei
muno?", vaMugoni vakabvunza.
"Nda--- nda--- ndino-- ndau---,"Biggie
akandandama achishaya kuti otangira papi.
"Hezvo! Tava mukirasi re Grade 1 here
zvatava
kuitiswa ma nda nde ndi ndo ndu? Tiri kuti
isu,
muri kudei muno?"
"Ndanzi ndiuye kuzoona Jackson. Aaa!
Ummm!
Ndauya kuzoona Jackson."
"Wanzi uuye nani? Heyi! Vakomana. Pano
panenge pane nyaya. Sungai munhu uyu
tiende
naye azonyatsotaura nyaya yake kwaedza."
Nguva dzafamba idzi. Toda kundozorora."
"Handina kutumwa. Jackson ihama yangu.
Ava
kundipandukira, ndiBiggie akataura mashoko
aya.
"Aizve! Wamboti watumwa, izvezvi woti
Jackson
ishamwari yako. Toziva zvipi zvino?"
"Hanzi naiye imhondi uyu,"
VaMugoni vakazopindura," Uri kuti hanzi
hanzi,
naniko iyeye?
Ndichinzwa mashoko aya ndakavira nehasha.
Ndakada kuenda kundomukwatidza nembama
ndokubva ndabatwa naStacey. "Aiwa!
Hazvinzarwo. Munhu ava mumaoko
emapurisa
haarohwi. Vamwe ndivo vangatorova kana
vachitsvaga humbowo. Iwe mutadzirwi
haubvumidzwe kurova,"akadaro Stacey.
Mapurisa akazosunga Biggie ndokubva
aendeswa
kukamba. Ini ndakabva ndavaudza kuti
ndosara
ndozotevera kukamba pazuva raitevera
racho.
"Jackson,hausari. Tsvaga kumwe
kwekundorara.
Unovingwa nevamwe vemunhu uyu,"akadaro
Stacey. Akataura mashoko aya achiita sekuti
aindinzwira tsitsi asi chokwadi ndechekuti
aida
kuti ndiende naye kumba kwake. Zvakabva
zvatsinhidzirwa neumwe mupurisa.
"Icho ichokwadi,Jackson. Munhu uyu
haazvite ari
ega. Chitori chikwata chemhondi ichi asi
chiripo
ndechekuti hatisi kuziva mashandire acho."
Mupurisa uyu akanga otaura seane muti
mudama. Kahana kangu kakamborova
ndichinzwa mashoko emupurisa uyu.
Pfungwa
dzangu dzakambofunga kuti mukubatwa
kwevanhu ava kuchawanzokonzera kuti neni
ndisungwewo nekuti ndaivawo mumwe
wechikwata ichi. Ndini ndakauraya VaTrevor
Musole naStation Commander, amai Bridget
Mleya, wepakamba pedu apa naizvozvo
mhosva
yaitovapo. Zvakare VaNdlovu naBiggie
vaiziva
nezvenyaya iyi.
"Hmm! Saka ndichaita sei? Nyaya iyi
veduwee!,
ndakadaro nechemumoyo. Hapana divi
rakanga
rakanga rakanaka kwandiri. Ukuwo kudivi
rezverudo, musi wandaizotosvorana naStacey
ndiwo musi wandaizoziva chakadya nyanga
dzamukoma dhongi.
Biggie akaiswa njema mumaoko nemakumbo.
Ndokubva aiswa mumotokari. Motokari
dzavhetemeswa ndiye hutu dzakananga
kukamba.
Iniwo ndakavaudza kuti ndaida kumbotora
zvinhu
zvangu kumba ndokubva ndaperekedzwa
naStacey. Veduwee! Stacey zvaakanga ava
kuita
panguva iyi zvakapa mibvunzo nefungidziro
kuvamwe vangu kuti taidanana. Akanga
asingachadi kusiyana neni. Takaenda
kukamuri
kwangu ndokutora zvandaida kutora imomo.
Ndakabva ndaudza Stacey nezvebanga
nepfuti
zvaBiggie ndokubva tazvitora.
Ndakazvibatisa
Stacey ndokuenda kwaiva nemotokari yangu.
Stacey akashamisika kuona Chev Sonic
yangu.
"Ko imotokari yaani yauri kuvhura
iyi?,"akabvunza Stacey.
"Ndeyangu. Ndaudza iwe chete. Handisi kuda
kuti zvizivikanwe kuti ndine motokari.
Ndingaurayiwa."ndakapindura zvangu
ndichitora
zvandaitora imomo. Takazopinda munzira
ndokuenda kumba kwaStacey. Takasvika
ndikageza ropa randanga ndazodzwa
naBiggie.
Tazopinda mu bedroom ndokubva tarara.
Kudai
mhino yangu yakafema munhuhwi wezvaida
kuitika pazuva rechimangwana racho ndaidai
ndakanyepera kurwara hangu! Ko
chaimbova
chii? Handei mberi tinzwe!
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Mai Chriesanthem, kubvira musi
wavakakurukura naMai Zuze nezvenyaya
yezvemukono wavo wakasiya danga rawo
uchipembera nenyika, vakaronga musi
wekuuya
zvakare kuzonditsvaga. Musi wacho
wakasvika
ndokugadzirira rwendo rwavo. Wakanga uri
musi
weMugovera.
"Jackson Junior! Sara nevana zvakanaka,
ndoda
kumboenda kuKempton Park. Ndinodzoka
manheru,"vakarayira dangwe rangu
zvaaizofanira kuita. Musi uyu ndiwo
wandakamukawo ndiri kwaStacey
kwandakanga
ndarara usiku hwanga huchangopfuura.
Vakapinda mumotokari yavo ndokupinda
munzira.
Ukowo kupurazi, Shirley zvaakaona ndisina
kuuya kumba zvakamunetsa zvikuru kuti azive
kuti ndakanga ndarara kupi.
"Mukoma kusvika nguva ino vasati vadzoka,
mukati kwakanaka ikoku? Vava
kundinyanyira .
Handichada kuswera ndisina kuvaona ini.
Ndichavaudza kuti vambokumbirawo leave.
Basa
rinoshandwa kuchizororwawo. Ndokusaka
vakanzi ndivanaMugaradzakasungwa.
Kusaziva
zvako kuti dziri kugara dzakasungwa apa
chinombova chii? Ibhutsu here kana kuti
zvimwe
zvinhu? Nhumbu yangu iri kukura wena.
Ndichazvara mwana rudzii? Hmmm! Zvaida
kuti
ndimboenda kucheck-up. Chinguri ndakabata
pamuviri handisati ndamboenda kuchipatara.
Itori imwe nyaya iyi,"Shirley aingozvipa
mibvunzo isina aipindura akarara zvake
muimba
yekurara. Akazofunga kumuka achikuuya
kukamba mangwana wacho waiva iwo musi
wemugovera.
Iniwo zvandakarara kumba kwaStacey,
takava
nehusiku hutsvene chose. Takava nenguva
yaifadza chaizvo kunyangwe zvazvo ndaiva
ndine
marwadzo ekurwisana naBiggie. Mazirudo
akanga asiri enhamo zvekuti aitozadza saga
nehafu.
"Nhai,dear. Nhasi tichanonoka kubasa. Uri
kuona pava nenguva here?"akadaro Stacey
achindimutsa. Ini ndakanga ndatova kudenga
rechinomwe chaiko. Dzakanga dzandibata
sekasvava kuguta mukaka waamai vako.
"Hmmmm! Yava nguvai?"ndakadaro
ndichishama ny'ai.
" 5 o'clock. Apa tichada kugeza nekudya.
Tingaenda tisina kumbonwa chero komichi
yeputugadzike here?"akadaro Stacey
achipedzisa
kupfeka imwe shangu yake. . Gadziriro
yakaitwa
ndokubva tapinda mumotokari ndiye tande
nemugwagwa kuenda kukamba. Mugwagwa
wakanga wazara dzimotokari zvekuti pamwe
pacho taitofamba zvekunanaira chaiko.
Takasvika kumba ndokubva taburuka.
Mamwe
mapurisa achitiona akatanga kuzevezerana
vachitaura nezvedu.
"Nhai iwe! Mafambiro ari kuita
matikitivha(Detective Agents) aya uri
kumaonawo
sei?"
"Wabvunza mubvunzo wandaiva nawo
mupfungwa dzangu. Hongu, tinoziva kuti
vanoshanda vese asi zvimwe zvacho
zvazonyanya.
Vanenge vakatoroorana ava."ndeumwe
mupurisa
uyu.
"Iyo nhumbu ina Stacey mukati haisi
yaJackson
iyeyu?"
Vakabva vaseka zvavo vakaviga zviso zvavo
kuti
tisaona kuti vari kuseka.
Umwe akazoti,"Ndinovimba kuti vanga vari
vose
usiku hwapfuura ihwohwu."
"Hmmm! Iwe! Siyana nevanodanana. "
Vachiri pakati penhaurirano yavo iyi, nguva
yekuenda ku Parade yakakwana ndokubva
tafora
tichienda ikoko. VaNdlovu vakanga varipo
zvavo.
Vaizivei kuti mumwe wavo wakasungwa.
Mitemo
inosungirwa kuti mapurisa ese anenge ari
pachijana aite, dzakaverengwa
kuchizoteverawo
mabasa aifanira kuitwa musi uyu. Veku
Patrol
vakadomwa, ve traffic support vakadomwawo
zvakare. Matikitivha nevamwe vechikuru tisu
taizomirira nyaya yaBiggie uyo akanga
abatwa
usiku hwakanga hwapfuura. Izvi zvakarovesa
vaNdlovu nehana zvekuti vakapera simba.
Parade
yakazopera umwe noumwe ndokuenda
kwaaishandira.
Tichingobva paParade, mukamba makabva
mapinda motokari yandaiziva. Ndichiti ba!
Kutarisa registration number yemotokari,
ndakarohwa nehana. Simba rakapera kuti
hwaa
ndiye pwashasha sevhiri remotokari rapera
mweya. Zvaisetsa imbwa nemadhongi
zvakanga
zvandimirira musi uyu. Heyi! Saka ndichaita
sei?
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~ VaNdlovu
zvavakazorara Biggie asina kudzoka,
kwakatozosvika pakuedza pasina munhu ati
gogogoi.
"Biggie haasati adzoka. Kwakanaka ikoku?
Haa!
Hameno. Tomirira kunzwa
zvichaitika."ndiVaNdlovu ava.
Vakazogadzirira ndokupinda mumotokari
yavo
vachibva vananga kubasa. Vachisvika
vangoona
zvinhu zvakamira zvakanaka sezvo mapurisa
haana kutaura-taura nezvaBiggie uyu.
Havana
kuda kuudza vaNdlovu nekuti fungidziro
yekuti
vaNdlovu vaiva mumwe wemhondi yakanga
iri
mavari. Vakatozorohwa nehana pavakanzwa
nyaya yaBiggie yotaurwa paParade.
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Musi weMugovera uyu, Shirley akamuka
rungwanani-ngwanani ndokugeza.
Akagadzirira
putugadzike ndokunwa zvake, uku pfungwa
dzaingoshushikana nekusauya kwangu kumba
manheru akanga apfuura. Akabva abudisa
kaPeugeot kake mugaraji ndokuvhara
musiwo
achibva apinda munzira kuuya kukamba.
Aizivei
kuti zvinhu zvichamira nepamwe. Regai
tinzwe
zvakazotevera.
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Mai Chrie pavakapedza kuraira Jackson
Junior
anova iro dangwe redu, vakabva vapinda
munzira kuuya kuzonditsvaga. Vakatanga
kuenda
kwandairoja kuye kunova ndiko
kwandakanga
ndarwisana naBiggie. Vakasvika ndokutaura
nagadhi aivapo.
"Mangwanani, vahanzvadzi?"vakadaro Mai
Chrie.
"Mangwanani, makadii zvenyu? Tokubatsirai
nei?"akapindura gadhi nechimbichimbi
zvairatidza kuti akanga akabatika.
"Ndiri nani. Ndingaonawo VaJackson Sithole
here?"
Gadhi paakanzwa zita rangu akabva aziva
kuti
ndini ndaitsvagwa.
"Vari kubasa. Kwakanaka here, nhai
mhaiyo?"
Vachinzwa izvi, mai Chrie vakabva vanzwa
kamoyo kakurerukirwa nekuti vakabva vaziva
kuti
ndaiva mupenyu. Nerimwe divi vakanga
vakatsamwa sechipembere chakakuvadzwa.
"Kwakanaka zvako. Murume wangu."Mai
Chrie
vakapindura.
"Murume wenyu? Sei muchirega murume
achigara ega? Nezura akapotsa aurayiwa
nematsotsi mumba make imomo. Verengai OB
Entry iyi munzwe,"mashoko aya akashayisa
Mai
Chrie zvekutaura. Zvakavanetsa kuti vati
vairambidzwa kugara neni here kana kuti.
Chakazokwanisa kutaura ndechekuti vaigara
kumba nevana.
"Murume wenyu aidai akafa nezuro.
Ndasvika
pabasa mangwanani ano nyaya
dzaingotaurwa
ndedzekurwisana kwaakaita nemunhu aida
kumuuraya. Tendai Mwari, amai. Maidai
mava
shirikadzi,"ndigadhi uyu.
Mai Chrie vakamboita chinguva vakanyara
vachifunga mashoko avakanga vaudzwa.
Vaizivei
kuti kumberi kwavari kuenda kuchabuda
mashura
semwana azvarwa ane ndebvu kana kuti
mbudzi
yazvara imbwa.
"Ndodamba sei kuenda kukamba
kwavanosha?"
Gadhi akabva avaraira nzira,"Pindai
munaElgin
Road iyo iri apo modzika nayo. Kumberi
ikoko
muchaona ma traffic lights(robots), pane
mugwagwa unodimura Elgin Road iyoyo. Imi
mobva maruramira kurudyi. Mugwagwa
wacho
unonzi Swarthout Avenue. Mukafamba
kwechinhamwe chingangoita makiromita
mana
muoona kamba yemapurisa kurutivi
rwekuruboshwe, ndipo ipapo. Hamurasike.
Iko
kusaziva kubasa kwemurume wenyu,
munomuda
zvechokwadi here?"
Mai Chrie vakangotenda gadhi nekurairwa
nzira
ndokupinda mumotokari vachibva vauya
kukamba kwandaiva. Ndivo vaiva nemotokari
yandakaona ichipinda pagedhe ndikaiziva.
Vakaburuka ndokubva vakanda nhanho
vachiuya
kuCharge Office.
Zvichakadaro, kedu Shirley kakabva kasvika
nemotokari yacho ndokuimisa pedo neyaMai
Chrie ndoku-----------------------
CHAPTER 36.