You are on page 1of 584

SAKA NDICHAITA SEI

BY
JERIMIAH MANYONI

[CHIFURIRO]
CHAPTER 1.

''Nyaya yandakudanira kuno, Cst. Jackson,


ndeiyi, there is a mission we need to
accomplish
before tomorrow midnight," vakadaro S.A
Police
Captain Lewis Ndlovu vachitaura neni tiri
muhofisi mavo. Taiva tiri paNorkem Park
Police
Station pataishandira.
"Mission iyi haisi maringe nezvebasa
rechipurisa
kwete. Ibasa remusangano wedu,"
vakaenderera
mberi.
Musangano wavaireva uyu ndewechikwata
chedu
cheumhondi kutenga nekutengesa zvinhu
zvisingabvumidzwe pamutemo, kuba
takapakata
zvombo nehumwe hunhubu
hwakasiyanasiyana.
Chikwata chedu ichi, Leopard Claws
Gangsters,
chakanga chatemesa musoro vataishanda
navo
muchipurisa. Chaiva chakarongeka zvekuti
hapana aimbofungidzira kuti taibata mabasa
makukutu aya. Chakanga chine nhengo
dzakawanda kumaguta akawanda muSouth
Africa
yese uye shoroma dzega dzega. Kushanda
basa
rechipurisa kwaitova kuhwanda uye kurasisa
mapurisa neruzhinji nekuti zvataiita izvi
zvaiitipa
mari zhinji.
Mission yandapiwa iyi yakandiomera zvekuti
ndakamboda kumuudza kuti ini
handingazvikwanisi hangu but ndakaona kuti
kuramba kwaitozokonzera kuti ndiuraiwe.
Hapana zvandaizoita kunze kutotevedza
zvaidiwa
zvacho. Chandaiziva ndechekuti kwaitofa
munhu
chete. Either ini kana iye wandakanzi
ndiende
kundomupedzisa aitofuga rake ega..
Ko aidiwa kuti aimbova aniko?
Nei akafungirwa mweya wakaipa kudaro?
Mhinduro tichadziwana mberi.
"My commands must be satisfactorily
adhered to
and you always know this rule --- complain
after
duty. Do you copy my mike?"ndi captain
Ndlovu
uyu.
"I copy it," ndakapindura ndichipukuta
tudikita
pamhanza.
"Right, see you after your duty."Captain
Ndlovu
Akasimuka ndokunanga Ku charge office.
Ndakabva ndangobudawo ndokuenda
kunosaina
mapepa e medical leave yevhiki rose. Iri dhiri
re
leave rakanga ratorongwa kare nevakuru
vechikwata cheLeopard Claw Gangsters.
Mapepa
aya akanga akanyorwa ndaizoenda
kuDurban
kundoona chiremba anoona nezvepfungwa.
Zvaani? Tainyeba kuti hatisi vatano kuitira
kuti
madhiri anyatsofaya. Taiva mapere akapfeka
matehwe ehwai pachokwadi. Kana waitiona
tiri
mu gear rechipurisa hawaizombotifungira
kuti
tiri nhumwa dza satan nerimwe divi.
Pakaipa!
"Nhai Mwari, ndichasvikepi ndichizvipinza
mumukanwa meshumba kudai? Ko zvandiri
kuita
izvi zvichandisvitsepi? Ndiko kunonzi
kuzviparika
panyanga dzamushore. Kuzviisa muna
taisireva.
Ko NDICHAITA sei mberi kwazvo?
Ndaingozvibvunza mupfungwa ndichityaira
motokari yangu ndakananga kumba.
Ndichisvika pamba ndakabva ndaburuka
mumotokari yangu ndokupinda mumba.
Ndakapinda my shower ndokugeza. Pakanga
pasina chekumirira nekuti ndaifanira kurara
ndava kuCapetown. Durban iyo yakanyorwa
patsamba ye leave yaingova yekurasisa
vataishanda navo muPolice service avo
vakanga
vasiri veLeopard Claws. Hongu ndaizoenda
kuDurban asi ndichibva nekuCapetown.
Ndakati ndapedza kugeza, ndakaita gadziriro
yangu yerwendo -- I D, Bank cards ne SAPS
Card. Ndakasiya pfuti ne uniform yebasa
nekuti
mission yandaifambira yakarongwa neimwe
nzira. Aa! Hameno. Ndichaona ndaveko,
pfungwa dzaiva papfumvu chokwadi
SAKA NDICHAITA SEI kana ndikabatwa?
Kutofa ka ikoku kwakandimirira mberi.
Ndini uyo! Ndakapinda mumota yangu
ndanyudza gumbo mu tank ndakananga
kumba
kweshamwari yangu. Ndakanga ndati
andiperekedze kunhandare yeO.R Tambo
International Airport uko kwandaizokwira
ndege
iye achidzokera kumba nemotokari yangu.
Ndakawana apedza kugadzirira ndokubva
tachemedza engine yeAudi takananga
kunhandare ye ndege. Ndakaita zvese
zvaidiwa
pakufamba ndokubva ndapinda mundege.
Mushure menguva pfupi takanga tatova
muchadenga.
Ndiri mundege kudaro, ndakangorora vamwe
vanhu vaivamo ndokuona kuti ruzhinji rwavo
were tourists and some of them were visiting
friends and families.
I was unlike them. My flight was of a mission
which was disastrous terrible to me.
Kunyange
zvazvo vaifambira hunhubu hwaiva
sehwandaifambira hawaimbofunga kuti mune
vanhu vakadaro.
I, Cst Jackson Sithole ,was 1.73 meters tall
and a
rock-solid of about 88 KGS. I was very active
and
relied on my quickness and endurance than
ordinary strength. I have scars on my arm
and
back. Ndakaiswa ma tattoos paruoko
nekumusana. Ndaizviitira kuti mavanga aya
asaonekwa. The one tattoo was of a red
lighting
on fire and the other one is of a large tooth.
Takasvika muAirport zuva roda kupinda
muna
mai varo.. Ndakabva ndakwira muchovha uyo
waienda kuhotera ndokusvikobhadhara
kamuri
yandaizorara kweusiku humwe. Kamuri iri
raiva
pa 4th floor, nokudaro ndaikwanisa kuona
mwenje yeguta kusvika kure. Ndakasvikogara
pamubhedha ndokutanga kufunga zvakare.
"Mangwana chakatochaya! Ndinopabuda
ipapa?
Munhu wandiri kufambira munhu
akadzidzira
chisoja uye haagari ari ega. Zvinoreva kuti
ndicharwisana nevanhu vakawanda.....
Pakaipa.
Hameno kuti ndichazvigona sei," ndini uyo.
Ndakakurura shangu ndorara. Handina
chandakadya manheru iwayo.
Kana une zvinokubetsa mupfungwa haurari
hope
dzeumambo. Unotonyatsonzwa kuti zvinhu
hazvina kumira mushe.
Zuva rakati richingoti vhoo, ndakamuka
ndokunanga pafafitera. Ndavhura chidzitiro
ndokudzvanyira huma yangu windowpane iro
rainyatsotonhera zvainakidza. Ndayeverwa
zvangu nemanikiro akaita Isixeko sase
Kapa(City
of Capetown/ Staad Kapstaad). Miti nehuswa
zvinogara zvakasvibira nekuti mvura inogara
ichinaya chero mumwaka wechando.
Handina kupedza nguva ndiri pahwindo apa,
ndakabva ndabuda mukamuri ndokuenda
kundogeza muviri. Ndapedza, ndakarongedza
ndokuenda kundotenga zvekudya. Ndakanga
ndaziya zvino, ndaitofanira kudya nokuti
zvaizotevera zvaida simba. Ndakati ndapedza
kudya ndakabudisa bepa re map yairatidza
mafambiro andaizoita seizvo kaiva kekutanga
kusvika munzvimbo iyi. Ndaida kuona kuti
ndichafamba sei kusvika pamba paiva ne
mission
yaida kuzadzikiswa.
Zvichadaro, ndakabva ndafonerwa
naCaptain
Lewis.
"Constable Jackson, go and meet
Superintendent
Anele Mtshali at Green Point Stadium. He
will
offer you some more help. Do you copy?"
"Mike copied." Ndakapindura.
Ndakasimuka ndiye tande kunhandare
kwandakanzi ndiende. Ndakasvika
ndokumirira
kuti vasvike panhandare. Ndakabva ndaona
pamuti paiva nezvigaro netafura zvakavakwa
ne
samende. Ndakaenda kunogara pamuti uyu
while
waiting for Officer Mtshali.
Ndakabva ndabatwa ne hope.
Ndakatozomutswa neshizha rakadonha kubva
mumuti. Rakawira kumeso kwangu sezvo
ndakanga ndarara nemanhede
ndakatsamhira
tafura negotsi.
"Nguva dzafamba wena. 5:23 pm ryt now! Iye
mudhara uyu haasvike nei ko? Ndaneta
kugarira
ini." Ndakadaro ndichishama ny'ai.
"Haasi iye here mudhara ari kuuya kuno
uyo?,"ndakanga ndaona munhu aifambisa
achiuya kwandiri.
" Cst Jackson Sithole. Aren't you?," akadaro
mupurisa uyu achisvika pandaiva.
"Yes, I am."
"Follow me, Officer! Time is up!"
Ndakatevera mukuru uyu takananga
kumotokari
yake. Hapana akataura nemwe dzamara
tasvika
kumba kwaaigara. Akangosvikomisa mota
ndokubva tananga kumba make. Takasvika
paiva
wardrope, akarivhura ne key ndokubva
asairira
hembe kune rimwe divi .mukati nerimwe
gonhi
raivhurwa ne nhamba. Akadzvanya nhamba
ndokubva ravhurika. Takapinda mukati
ndokubva
avhura gonhi raiva pauriri(floor). Pasi paiva
neninga one rima gobvu chairo. Akapfeka
magirazi ekuonesa murima(night-vision
goggles).
Akatora mamwe ndokunditambidza.
Ndakapfeka
ndokubva ndanyatsoona zvaiva mukamuri iri.
Veduwee! Kamuri raiva nezvombo zvaityisa
chokwadi. Hapana rudzi rwechombo
chaishaiyikwa imomo.
Ndakapiwa uniform yeSecurity,2 pistols , a
knife,
handcuffs ne pepperspray.Akandipawo
neimwe
spray yekuti ukaufafaiza kumeso
kwemunhu,akangofema spray yacho anorara
hope dzevafi chaidzo.
Takabuda mumba muya nguva dzaenda.
Ndaifanirwa kusvika panzvimbo yandaizoita
basa
rangu na 7:40pm. Ndaifanira kuzowana
wekupinda pagedhi rezvimbo iyi pangu
yaizochinjana varindi vepo madzoro
ekurinda.
Murindi umwe aishanda kwema awa mana
umwe. SAKA INI ndaifanira kuti ndione
zvekuti
na 8:00pm.
"Constable Jackson Sithole, I strongly believe
that your preparation for the mission is the
best
and reliable. With this, you are able to
conquer a
centurion and his men. Nothing to be afraid
of
when your armed like this." Akadaro
Superintendent Mtshali achindisimbisa.
"Thank you very much," ndakadaro ndichi
saluta.
Ndakabva pamba vaMtshali hana
yavakurova.
Ndanga ndoshuwa kuti kudai mukombe uyu
wapfuura.
"Saka ndichaita sei!" "Ma1!
Ndakabuda pagedhe ndokufamba rwendo
rwangu. Ndini uyo! Ndakati ndoda kusvika
panzvimbo paye, ndakabva ndasangana
nemotokari yemapurisa ndokubva
ya......................

END OF CHAPTER 1.
CHAPTER 2

Ndakati ndoda kusvika panzvimbo paye,


ndakabva ndasangana nemotokari
yemapurisa
ndokubva yamira pandakanga ndiri chaipo.
Ndakatanga kufunga zvekutaura kana
vondibvunza asi hangu yakanga yava kuridza
bass raMacheso. Hongu, ini ndaiva mupurisa
asi
zvaisafanira kuzivikanwa panguva iyi.
"Hoo, uri security officer nhai?", akakadaro
mupurisa aiva aityaira. Akanga aona kuti
ndaiva
ndakapfeka uniform ye security.
"Hongu, Chief", ndakapindura
ndakanyatsodzikamisa hana yangu kuti
vasaona
kuti ndaitya panguva iyoyo.
"Manje kuzoenda kubasa panguva dzino
zvaita
sei, officer? Mashift anotanga na6
wani?",akabvunza mumwe wacho. Ndisati
ndapindura mubvunzo uyu, chiovha chavo
chakatanga kunzwika inzwi raidanidzira.
"Bravo Tango Sierra 202! Come in for Eco
Delta!", iri raiva inzwi raidanidzira
pachiovha
chiye.
"Eco Delta, send your message," akadaro
mupurisa aityaira.
"We need a back up here at LongBeach Mall
right now! Do you copy?" Rakadaro inzwi
riya.
Vakanga vadanwa kuLongBeach Mall uko
kwakanga kwaita matsotsi akadhuura ATM
nechimbambaira. Vakavandisiya ndokubva
vamhanyira Mall kuya ini sarei tuzu.
Ndakanga
ndaita sehuku yanaiwa nemvura iri
kundotsva
zvitota kusango.
"Nhasi zvangu ini! Panobuda chinhu ipapa?
Ndichadzokera kumba ndiri mupenyu here
kana
kuti ndava kuenda kunyikadzimu. Saka
NDICHAITA sei kuti ndidzoke ndiri
mupenyu."
Ndaingofunganya zvangu ndiri padivi
pemugwagwa ndamiswa nemapurisa paye.
"Mira
semurume,Jackson! Hurry up!" Rimwe
ziinzwi
rakauya mupfungwa mangu. Ndini uyo!
Kuenderera mberi nerwendo rwangu.
Trevor Msole akanga ari murume
murefu,mokobvu uye mutsvuku. Murume uyu
aiva
mumwe wechikwata chedu cheLeopard Claws
Gangsters. Ndiye aishanda ari Ku Capetown.
Ndiye aibatsira chikwata kana chichida
kundotora ma drugs kubva kuBrazil. Akanga
ane
dzimwe nhengo dzechikwata chedu
dzaishanda
dziri pasi pake. Kuita kwemurume uyu
kwakatanga kusafadza dzimwe nhengo
dzechikwata kubvira makore maviri akanga
apfuura. Akanga ava kutyora mitemo
yechikwata.
Nokudaro, dzimwe nhengo dzechikwata
chedu
dzakagara dare pachivande ndokubuda
nechisungo chekuti Trevor aifanira kusiya
nyemba. Vakambonetsana pakuronga kuti
ndiani
aizoenda kundouraya Trevor kusvikira
vazodoma
ini kuti ndindoita basa ravo iri. Ko nei vaiti
ini
ndiendeko? Kwaiva kugona basa kwangu
here
kana kuti vaitondiona sembwa yavo? Ehe ka!
Imbwa nokuti chero ikafa haina basa. Ko
inodyiwa nyama here? Kudai ndaiva
semombe
kwavari zvaitova nani nokuti ndikafa
ndinodyiwa
nyama, dehwe vanowaridza kana kukakisa
ngoma. Ne tyava ka! Handiti ndizvo zvacho?
Pakaipa!
Ndakasvika pedo ne stand yaTrevor ndokubva
ndaongorora ndiri nechekure. Nguva dza8
dzakanga dzoda kukwana kwakanga kwasara
maminitsi gumi chete kuti dzikwane. Pasina
nguva, magadhi aipinda pachijana chenguva
dza8 akabva asvika. Varindi ava vaishanda
kwema awa(hour) mana chete kopinda
vamwe.
Nokudaro, ndaifanira kuita basa ranga pama
awa iwayo kuti ndisarwisane nevanhu
vakawanda. Varindi(guards) vakasvika
ndokupinda muimba yevarindi(guardroom).
Ini
ndakabva ndatorawo mukana iwoyo
ndokunyahwaira ndichienda ku gedhe guru
raipindwa naro. Pedo negedhe iri paiva
neruva
raisvika muchiuno pakureba. Ruva iri
rakanga
kasvibira uye munyasi naro maiva nehuswa (
lawn). Paruva apa painyatsovandika nokuti
raiva rakanyatsoti kwati kwati
nemudhuri(dura
wall). Ndakanyahwaira ndokuvanda seri
kweruva
iroro ndichigaya zano rekuita. Pasina nguva
refu
varindi vakabva vabuda pagedhe vese
vachiita
sekuti vari kuperekedzana vachitaura nyaya.
Vachingobuda gedhe, vaya vanga vachaisa
ndokuenda kudzimba dzavo. Pagedhe
paishanda
varindi vaviri sezvo vaiitira kuti umwe
murindi
panoenda kundomema nzvimbo(patrols)
umwe
anosara ari pa gedhe.
Varindi vakanga vasara vakazoti voda
kuvhara
gedhe, pakabva pasvika imwe mota
yemapurisa.
Akomana! Ndakaona sekuti mupurisa
ainyumwa
zvechokwadi. Motokari iyi yakabva nedivi
randaiva, nokudaro umwe wemapurisa
akandiona paruva paya asi haana kuita
hanya
nazvo. Vakasvikomisa mota vati pfuurei
gedhe
zvishoma pavakaona varindi vanga voda
kuvhara
gedhe. Mupurisa aityaira akabva adaidza
varindi
ndokubva vasiya gedhe rakashama. Ko
vaizivei
kuti paruva apa paita muvengi? Vakataura
zvakataura ipapo mapurisa ndokubva
asimudza
zvinyoro ndikuti fambei kwemamita angoita
makumi matatu ndokubva vamisa motokari
zvakare. Ko chaiva chii zve chavaida?
" Ah! Officer, pane chinhu chandaona
semunhu
seri kweruva riri pedo gedhe paya.
Machionawo
here?"mupurisa aiva ku passenger seat uyu.
"Handina kumuona ini. Uri kuzviona here
kuti uri
kutadza basa, officer?"ndewaityaira uyu.
"A police officer must focus on his/her
surrounding. Once you see a suspicious thing
or
action, respond immediately," akaenderera
mberi.
"Rega tidane ma guards aya tivabvunze. May
be
mumwe wavo iyeye"
Pakarepo vakadana varindi,"Hey Officers!
Mhanyai kuno!
Varindi vakamhanya kwavaiva vadanwa, ini
ndokuti dzawira mutswanda. Ndakabva
ndazvizvurudza nedumbu zviya zvinoitwa
nedzvinyu ndakananga Ku gedhe.
Ndakasvikopinda ndokuenda mu guardroom
mavo ndokubva ndavanda seri kwegonhi.
Mapurisa akabvunza varindi ndokubva vanzi
paiva pasina munhu. Vakaronga
zvekudzokera
paruva apa wanei hapana aripo. Ndakanga
ndatopinda mukati nechekare. Mapurisa
akasimudza motokari ndokurova pasi
"Ko munhu ataurwa nezvake uyu haadaro
apinda
mukati iyeyu? Tasiya tisina kukiya gedhe,
shaa,"ava varindi vaibvunzana.
"Hameno," mumwe akapindura.
Mumwe akakiya gedhe ndokubva vafamba
vachiuya ku guardroom kwandaiva. "Iwe
chimbienda ku patrol uone kuti situation
yakamira sei. Zvimwe munhu airehwa uya
apinda," mumwe aitaura uyu.
Umwe murindi akaenda ku patrol umwe
ndouuya
ku guardroom. Nguva yese pandakanga
ndirimo,
ndanga ndichifunga zano. Hongu, pakupinda
ndainge ndabudirira asi ndaingozvibvunza
kuti
SAKA NDICHAITA SEI to accomplish the
mission.
Murindi paakangoti pindikiti mu guardroom,
ndakabva ndamunhongedzera pfuti
ndimuraira
kuti agare pasi. Akaita seanzwisisa ndokuita
seogara pasi. Pandakada kuti ndiswedere
kwaari,
akabva andirova ruoko rwaiva nepfuti
ndokubva
pfuti yawira pasi. Ndakagadzikwa chimwe
chibhakera chemists enhancing Ndiye
zhokoto
kuwira kugonhi ndokuvharika. Aika!
Zvandava
kudzipwa negodo remhuru, ko rehandira
ndichazorigona sei? Ndaitofanira kusunga
dzisimbe kwete kuita zvekutungana
kwembudzi.
Ndakaita rombo rakanaka nokuti
ndakadonha
ndakaita zvekugara. Iye paakada kuti
anhonge
pfuti yangu ndipo pakawanawo mukana.
Ndakamupiringisha makumbo ndokubva
adonhawo . Ndasimuka nechimbichimbi
ndokumubanha mumusoro neshangu ini simbi
kuhuma kwayo. Pakarepo ropa rakatanga
kubuda. Ndakatora spray uya nekuti
ukaifafaidza
munhu kumeso, akangoifema anofa mahafu
kwemaawa akati kuti.
Ndakaimwaya kumeso kwake ndokubva
akotsira
zvake. Pasina nguva refu ,mumwe wake
akapinda
Uyo haana kundinetsa nokuti akanga
akavarairwa achibaya-baya mbozha nhare
take.
Ndakamumwaya spray ndokuti
zvimwechetezvo.
Ndakatora tambo ndokuvasunga makumbo.
Ndakatora ma handcuffs avo ndikuvasunga
maoko avo pamwechete sevakabatana
maoko.
Pandapedza kuita zvese, ndakubuda mu
guardroom ndokunanga kumba yaTrevor.
"013 Foxtrot Romeo! Identity yourself,
officer!"
Iri raiva inzwi raidanidzira richibva
kumashure
kwangu. Raitoratidza kuti ari kutadaidzira
atori
pandiri chaipo. Paitova ne distance
ingangoita
ma mita mana. Ini,zvangu ini. Ndatova
pama1
zvakare. Hey!
Pandakati ndicheuke kwaari, ndakabva
nda............
END OF CHAPTER
CHAPTER 3

Pandakakati ndicheuke kwaari, ndakapiwa


mucheka , zadzadama uye muvharanzeve
wembama chaiwo. Ndakanga nyeredzi
sedzine
aya atinoti ma photocopy pachirungu.
Ndakadzadzarika sechidhakwa chanwa
kachasu
kanobikwa nemabhanana. Veduwee! Ko
nhamo
yacho zvayava kutangira panze,mukati umu
NDICHAITA SEI? Nhamo yangu yanyanya
iyi.
Ko munhu andirova abva nepi zve?
Zvandanga
ndati ndapedza basa,", ndaizvibvunza
nechemumoyo.
Munhu akandirova uyu Ndiye airinda
pamukova
unopinda muimba ya Trevor Msole. Panguva
yandakasvika pamusiwo apa iye akanga
aenda
kundozvibatsira muchimbuzi. Haana kuona
zvakaitika Ku gedhe uye aitoti zvinhu
zvakamira
zvakanaka. Ndakanga ndapfuura
nepachimbuzi
apa iye achibudawo muchimbuzi imomo. Iye
akandiona asi ini handina kumuona nokudaro
akanditevera zvinyoro nyoro pandakanga
ndichiuya paimba iyi.
Ndichiri pasi kudaro,akabva auya pandiri
kuti
andikurure nguwani yetambo iyo yaiva
vakavhara musoro wese ichisiya maziso
chete.
Paakakotama kuti abate nguwani, ndakabva
ndamudzvinya huro. Apa ndakatobata zviya
zvekuti handaifanira kuputsa pfuko.
Akamboedza
kubvisa asi akatadza. Zvichakadaro akabva
atora
banga ndokubva andibaya paruoko
rwekuruboshwe naro. Haa vakomana!
Handina
kumbopindwa ne pfungwa yekuti angaita izvi
nekuti ndanga ndakabata huro.
Ndakaregedza
huro ndokubata ruoko rwangu.
Pandakamuregedzawo akabata huro take
ndokupfugama. Akanga arwadziwa
pachokwadi.
Ini handina kuda kutambisa nguva,
ndakatora
spray yangu uya nokukurumidza
ndokumufafaidza nayo. Akati rabada pasi
ndokubva ndatora mahandcuffs ake
ndokumusunga nawo. Ndakabva
ndamuzvuzvurudza ndichienda naye
pakavanda.
Ndakabvarura uniform take ndokuzvisunga
pandabaiwa paye. Ndakabata bata homwe
dze
hembe dzake ndokuwana mune pfuti, access
card(card rinoshandiswa kuvhura dzimwe
mhando dzemamisuwo yemba kana magedhi).
Ndakawana zvakare ma keys ane chitsama.
Ndakabva ndatora zvinhu izvi
ndokumhanyira
kumukova mukuru(main door) wemba.
Ndakati ndichisvika padoor paye ndakaona
zvakandipedza simba."Oh! Damn it! Shit!
Apa
ndawacha manje! Kuita fenicha chaiyo,"
ndakadaro nechomumoyo ndatarisa
zvakandipedza simba kudaro.
Gonhi iri rakanga risingavhurwi ne key kana
kuti
access card. Nechekumwe kudivi regonhi iri
kwaive kune ka screen kaiva kakaita se
mbozhanhare hombe dziya dzinonzi ma
tablets.
Pa screen apa paibuda mashoko anoti,
ENTER
YOUR NAME IN FULL, YOUR
MEMBERSHIP
NUMBER AND PRESS ALL YOUR LEFT
HAND
FINGERPRINTS SIMULTANEOUSLY.
Ndakapererwa nezano semukwasha apedza
usavi
achada kudya sadza kumba kwavatezvara.
Hmm!
Ini dhuu kufunga. " SAKA NDICHAITA SEI?"
Heyi! Ma hwani aya atanga.
Ndakambobudisa
access card muhomwe ndokuda kumboedza
kuriisa pa screen paye ndichiri zvimwe
ringavhura asi hapana chakabuda. Kwaiva
kuteya nenzou neriva. Kuchera mvura
nebhasikiti
rewasheni. Ndakabva ndaona kuti ndakanga
ndisina kusiyana nemuchinda uya aiva
pamufanidzo ari uya aicherera mvura mu
washing basket achiti achageza razara.
Haiwa!
Raizozara riini?
Pandakanga ndichakabata access card riya
ndakabva ndaona kuti pane zvarainge
rakanyorwa. Nokuda kwerima raiva
paveranda
apa, handina kukwanisa kuona zvaraiva
rakanyorwa. Ndakabva ndatora ma night-
visiongoggles
angu ndokupfeka. "Yaa! Zvangu
zvafamba apa!"ndakadaro pandakaona kuti
card
iri raiva nezita pamwe ne membership
number. "
Hongu ! Zvinhu zviviri zvaita. Ko ma
fingerprints? Ndingatakura hofori yerume
riye
kuti ndiuye naro pano? Ok, regai
ndiendeko,"ndini ndakadaro apa ndava
kutokanda nhanho ndichienda kwaiva nerume
riya. Ndakasvika ndokubudisa banga
ndokucheka
chanza cheruoko rweruboshwe. Ndakanga
ndisingachadi zvekuswerovhiya mbeva iwo
moto
uripo. Inongobvurwa ka nhai!
Ndakamhanyira pascreen paye ndokubaya
mavara ndichinyora zita raiva pa access card
paye nemembership number yacho. ACCESS
DENIED!YOU ENTER MIXED
FINGERPRINTS." Aika! Zvaita sei zve? Ma1
acho azonyanya aya. Apa nguva dziri
kufamba."
Zvaizivikanwa nani kuti kunyora kwandaiita
ndichishandisa ruoko rwangu zvaisadiwa
sezvo
ichibata ruoko rwuri kunyora rwacho?
Ndakazongouyirwa neimwe pfungwa
yakanditi
nditore ruoko rwuya ndobata chigunwe
charwo
ndinyore nacho kuti pasaende ruoko rwangu
pascreen apa. ACCESS PERMITTED!
THANK
YOU,013 FOXTROT ROMEO!
Suwo rakakabva razaruka ndokubva
ndapinda.
Ndakafamba zvinyoro nyoro ndichitevedza
zvakanga ndaona pa map. Mumba umu
makanga
mune rima asi hazvina kundinetsa nokuda
kwema
goggles angu aye. Ndaitonyatsoona
zvakanaka
mamiriro nezvinhu zvaiva mumba umu.
Pandakati ndichirova right turn ndakanzwa
manzwi evanhu vazhinji vaiita ruzha
rwairatidza
vari pakurwadziwa. Hazvina
kundikatyamadza
sezvo ndaiziva hangu zviito zvataiita. Vanhu
ava
dzakanga dziri nhapwa dzaitapwa
kuchizofonerwa vabereki kana kuti hama
dzadzo
vaise panzvimbo inenge yadomwa mutapwa
oregedzwa. Pasina mari hapana aibuda.
Ndakapfuura ndichitsvaga gonhi remba
yepasi
inova ndiyo yaigara Trevor. Ndakaedza
kutenderera imba tose ndichiushayiwa.
Pandazoti
fambei ndakanzwa musuwo kuzarurwa.
Musuwo
uyu waiva pa corner nokudaro handina kuti
azarura ndiani uye aipinda here kana kuti
aibuda. Ndakafamba ndichienda pa corner
paya
ndokumira ndakatendeka pfuti yangu.
Ndakadongorera kudivi randakanzwa
musuwo
kuzaruka ndokuona
heyi!......................................
END OF CHAPTER 3.
CHAPTER 3B.

Ndakadongorera kudivi randakanga ndanzwa


musuwo uchizarurwa ndokuona, hey!
Hazvitaurike. Zvaiti kuvhundutsa zvikati
kupedza
simba. Ndakatanga kufunga zvakare," Apa
pazondiomera apa! Ndinopabuda here? Saka
NDICHAITA sei? Hmm! Rega ndiende
kumba.
Chii chandiri kupedzera nguva yangu
ndichiita
izvi," ndanga ndava kuzvibvunza mupfungwa
pandakaona mazirume maviri aiva nembwa.
Vaitogara murima zvavo asi
ndakanyatsovaona
zvimiro zvavo nema goggles a ndakanga
ndakapfeka. Mazirume aya dzaiva
hofori,hwitakwi, hamburamakaka,
mutsikapatinhira. VanaMusengamombe
mbudzi
ihata vachipukuta ziya nemachongwe.
Vakanga
vasiri varume vaya vanyorwa pazvimbuzi ,
bodo!
Tsvo! Apa ndakanyatsoona kuti hapana
zvandaizovaita nemaoko angu. Paitodiwa
munyati chaiwo nekuti kudai ndakatangirwa
namazirume aya ndaida ndakatandadza
pasina
chero kutsunya zvako. Paitoda kushandisa
SCOP
dhonoro, medulla a blankata. Hii! Pakaipa!
Ndiri pakona kudaro, pakabva paita ruzha
rwaibva mukamuri yaiva
nevatapwa(captives).
Kwaiva nokuchema zvekuti ndakahadzika
ndichishaya kuti zviri kumbofamba sei.
Varume vaye pavakanzwa ruzha vakabva
vafamba vachiuya kwandaiva. Ndakamhanya
ndichidzokera kumashure. Chakamboda
kundinetsa ndechekuti ndaizovanda papi
zvazvasvika pakadai. Sezvineiwo, ndakabva
ndaona bin hombe replastic raiva rine
marara
mashoma. Ndakabva ndasvikorivhura
ndokupinda imomo. Hmm! Hakuzi kunhuhwa
kwaraiita ikoko. Ko ndaigodii ini ndaiva
papfumvu yakadaro. Any slight mistake, you
are
for good! Vakafamba vachiuya
vachibvunzana
kuti chingava chii chaita kuti nhapwa
dziiyawire
zvakadaro. Vakati vasvika paiva nebin paya
ndokubva avhura achida kurasa chigutsvani
chefodya. Hana yakatanga kubika manhanga.
Moyo Waita seuchabuda panze utize
uchindiya
ndega. Akarasa chigutsvani chiye ndokubva
avhara. Ugh! Mwari wangu! Ndakatura
zibefu
rimwe rekuti kudai aiva akanyateerera aidai
akandinzwa.
Mhere yaibva mukamuri raiva nhapwa riye
yaiva
yakonzerwa nemoto. Pakaita nhapwa yaiva
yavesa moto negwenya ichida kuzviuraya
pamwe
chete nevamwe vaivamo. Yakapisa kakumbeze
kayaifuga ichiziva zvayo kuti moto uchapisa
vose
vaiva mukamuri nokuti vaiva
vakamanikidzika
mukamuri duku.
Mazirume aya paakati bheu gonhi ndokuona
hamuna chakanaka. Vakavhura gonhi
ndokubudisa nhapwa dziya. Vakaenda
kundotora
zvekudzimisa moto. Zvose izvi zvaiva muziso
angu
sezvo ndanga ndakazarura chivharo chebin
riye
sendakachitakura pamusoro.
Ndirimo kudaro ndakagaya zano rekuita.
Ndakaona zvakakodzera kuti ndibude
ndiitewo
sendiri nhapwa dziye ndichitsvaga mabatire
evanhu vangu. Handina kuda kurasa nguva,
ndabuda mu bin mute ndokuenda kune
nhapwa
dziye ivo vachiri mubishi rekudzima moto
mukamuri umu. Ndatoona kuti ndiwo mukana
wekuvauraya sezvo ndiwo ga mazirume aya
aiva
apinda mukamuri iri. Ndakabva ndatora
chimbambaira chinokandirwa nemaoko
munhava
yandaiva ndakaberekera kumusana
Ndokusunungurwa pamuromo
pachinosunungurwa ndokukandira mukati.
Rume
rimwe rakabvarurwa zvakapisa tsitsi uye
zvakakatyamadza rimwe raro. Rakashaiwa
kuti
chii chaa kutambika zvakare. Ndakatorazve
chimwe chimbambaira ndokusunungura
zvakare
ndokukandira pane wekupedzisira ndiye
mukabika mudye. Izvi zvakaomesa nhapwa
mate
mukanwa vachishaya kuti votiza here kana
kuti
vouya kwandiri. Ndakabva ndabvunza vamwe
kuti
mukuru wacho anogara mukamuri ripi uye
ndinofamba sei. "Nyaya yomoda Kutamba
iyi,
mukoma, munozoimirira here? Munhu
wamuri
kuda hamungambomugone. Uye mungapinda
sei
nokuti vanhu vamauraya ndivo vaiva ne
access
card rinovhura gonhi. Hmmm chakatochaya!
Ndakabva ndatsvaga nhapwa dziri nani
pautano
ndokubva ndaenda nadzo kuti dzinditsire
basa.
Dzakandiratidza paiva nemusuwo wekamuri
maigara Trevor. Yaitova zvayo ninga yepasi
paiva nemusuwo paiva ne screen zvakare
yakaita
seiya yaiva Ku main door. Ndakatora ruoko
rwuya kubva munhava ndokunyora zita
nehamba
uye ma fingerprints. Pandakabudisa ruoko
kubva
munhava, nhapwa dzandaiva nadzo
dzakadududza dzichishamisika kuti chaiva
chii
zve chainge choda kutambika. Ndinofunga
kuti
vakanga vofunga kuti ndaiva mumwe vanhu
ve
WRONG TURN. Ndakatora pfuti nespray
ndokuzvibatira mu ruoko. Musuwo
wakazaruka
ndokudzika nemanera. Pandakanga ndoda
kuti
ndichitsika pasi ndakabva
nda.........................
END OF CHAPTER 3B

CHAPTER 4A.

Musuwo wakazaruka ndokubva ndadzika


nemanera. Pandakanga ndoda kuti
ndichitsika
pasi, ndakabva ndaona chamakwesha
wezinyoka.
Zinyoka iri rakanga rihombe zvekuti raisiya
padiki kusvika mumabvi kana rakarara.
Raitotyisa zvekuti vehana nhete
vaitozvibatsirira
mumabhurugwa chete pavairiona. Hii! Haa!
Kukurukura hunge wapotswa. Ndakanga
ndisina
tarisiro yekuti ndichasangana nenyoka
mumba
umu kunze kwevanhu. Nyoka yakabhon'a
ichiuya
kwandiri. Pakarepo ndakacheuka ndokukwira
manera ndichidzokera kumukova. Nhapwa
dzandakauya nadzo kuti dzizondiratidza
gonhi
reninga kana kuti imba yepasi iyi, hadzina
kunge
dzandiudza kuti ninga iyi inochengetedzwa ne
nyoka. Zvakare, panguva yandakavhura
gonhi
reninga iyi handina kunge ndaona
chikwangwani
chaiva pagonhi iri. Chikwangani ichi chaiva
chine mufananidzo wenyoka. Nechepasi
pemufananidzo wenyoka paiva pakanyorwa
mashoko anoti 'I AM ON GUARD. ENTER
AT
YOUR OWN RISK.
Ndichibuda muninga umu ndakatarisa
ndokuona
kuti nyoka iya yakanga yadzokera. Pakarepo
ndakatanga kunzwa mabvi angu kurema.
"Baba
vangu, muera Moyo Mushayachiraswa!
Vamareranherera inorera nedzavamwe!
Vagere
duma nechiduma! Chokwadi kudai ndabatwa
nenyoka iyi ndairarama ini? Ndaipafa apa!
Hmm! Vakomana ka........," ndini
ndaizvibvunza
nekudzungudza musoro ndakabata shaya.
Trevor akanga akatenga nyoka yakadzidziswa
kuti isaruma vanhu vainoziva. Inongoruma
munhu waisingazivi.(Varungu vanokwanisa
kudzidzisa nyoka kuita zvakasiyana siyana.
Semuenzaniso, vari muguta reCapetown
munokwanisa kuenda kuKommetjie. Kune
vanofamba nezvitima zveMetrorail, kana
muri mu
parkstation ye Capetown munokwira zvitima
zvinoenda kuSimonstown pedo ne Cape
Point.
Munodzikira paFishoek then motora ma taxi
anoenda ku Kommetjie. Moenda pa Imhoff
Farm.
Ipapo munoona nyoka dzakadzidziswa
Kutamba
nevanhu dzisingarumi. Unokwanisa kuiisa
muhuro kana pasina kukudzwa.
Munokwanisa
kuenda paGoogle motsvaga IMHOFF FARM
SNAKE VIEWING.)
Ndichiri kufunga kudaro, ndakabva
ndapindwa
nepfungwa yekuti kuti ndidzokere mukati
ndiite
zvekuipfura nepfuti asi ndakaona kuti
ndaizochenjedza nyamukuta kuzvara
ndichada.
Ndakaona kuti zvaiva nani kuedza kuifafaidza
ne
spray. Asika, zvaida ushingi nokuti nyoka
yacho
hausaiitarisa kaviri. Zvakare, chinhu
chinonzi
nyoka hachijarike, vakomana. Ndakadzika
nemanera kepiri ndokuona kuti nyoka iya
yanga
yadzokera mukati.Ndakadzika zvinyoro nyoro
ndokusvika pauriri hwekamuri ndakabata
spray
muruoko. Nyoka yakauya ichimhanya
yakandinanga. Veduwee! Ndanga ndifamba
mumumvuri werufu. Zvakaipei kuti ushande
mabasa akachena pane kutamba nerufu
kudai?
Pakaipa! Yakati yosvika ndakabva
ndainzvenga
musoro wayo ndichipota kuseri kwemanera
ayo
anga akavakwa nesamende(concrete).
Yakasvikoruma manera aya ichiisa uturu
hwayo
ipapo. Yakati yoda kuti isimudze musoro
ichitarisa kwandiri ndokubva ndaifafaidza
pakarepo yakabva yapera simba ndokubva
ndatora banga rangu ndokuibaya huro yayo.
Ndakati ndapedza nezvenyoka ndakabva
ndatanga kutsvaga panorara Trevor.
Ndakafamba ndichitsvaga paairara Trevor.
Zvakambondinetsa kuti ndipawane nokuti
mukamuri umu maiva zvima passage uye
nemidziyo yakawanda. Ndakati ndapawana
ndakafamba ndichienda paakanga akarara
ndichiita zvekunyahwaira. Ndakanyatsobata
banga rangu zvakanaka naka ndakagadzirira
kundobaya huro chaiyo. Ndakasvika
ndokusimudza banga rangu. Ndichingoti dyu!
Ndakanzwa kuti ndabaya chimwe
chinhu.........haasi munhu!
"Ini eh! Chii zve chandabaya ichi?
Mubhedha
uyu uri kutaridza kuti paiva nemuhu. Zvino
aendepi? Ma1!
Ndichiri kunetseka mupfungwa kudaro,
ndakanzwa inzwi kumashure kwangu. "DROP
YOUR WEAPON!,akadaro inzwi riya.
Zvakandishamisa uye kundipedza simba.
Ndakashaya kuti zviri kumbofamba sei.
Ko chii change chambotambika chaizvo izvo?
Nguva yandairwisana nenyoka kumanera
kuya,
ruzha rwataita ndirwo rwakamutsa Trevor.
Akabva agaya zano chimbi ndokutora
mudhori
dziya dzinopfekedzwa hembe muzvitoro
(display)
ndokuradzika pamubhedha wake.
Wakatonyatsoziva kuti hapachina chakanaka
sezvo nyoka take haisaiita ruzha nguva dzose.
Akati aradzika mudhori uye ndokumhanya
kundovanda seri kwedzimwe midziyo.
Mukamuri
umu maiva nerima asi takanga tichionana
nokuti
taiva nema night vision goggles tese.
Pandakanzi ndiwise banga pasi ndakabva
nda................
END OF CHAPTER 4

CHAPTER 4 B.

Pandakanzi ndiwise banga pasi ndakabva


ndatanga kufunga kuti zvino ndoita sei.
Trevor
aiva ne pfuti here kana kuti banga? Ko zvino
kana aizondibata aizondisiya ndiri mupenyu
iyeyu? Asika, zveunhapwa ndizvo
zvandakanga
ndakaramba manje. Ndakabva ndazviudza
mashoko anoti LIBERATE YOURSELF OR
DIE
TRYING. Ndaizodiniwo ndasvika pakadai?
Ko
kusiri kufa ndokupi ? Ndaizotya kusviba
magaro
here ini ndaiteya murutsva? Ndaizotya
kununa
here ini ndanga ndakasasikwa. "THIS IS THE
LAST COMMAND! DROP YOUR WEAPON!
NOW!" akadaro Trevor nenzwi raiva
nehasha. Ini
ndakanga ndapedza chinguva ndakangomira
ndichifunga zvekuita. Pakarepo ndakadzikisa
ruoko zvishoma nezvishoma rimwe ruoko
ndakarusimudza. Ndakagadzika banga
pamubhedha ndokubva ndasimudza ruoko.
Ndakanga ndakafuratira kwaari, nokudaro
handina kuona kuti akanga akabata chii
panguva
iyi. Akauya pandiri ndakamufuratira kudaro
ndokubata ruoko rwangu achirudzikisa pasi
nechekumusana. Akabva adzikisazve rumwe
ruoko kuti asunge maoko angu. Aiita izvi
neruoko
rwumwechete rumwe rwakanditendekera
pfuti
pagotsi. Akabudisa ma handcuffs ake
ndokubva
andisunga ruoko rumwechete. Ipapo Moyo
wangu
wakatanga kurwadzikana. "Hmm! Vakomana!
Iyi
haiite yaakuda kutamba iyi!"ndaingofunga
nechemumoyo. Paakada kuti usunge ruoko
rwepiri,ndakabva ndakarova ruoko rwake
rwaiva
rwakabata pfuti. Pfuti ndokubva yadonha
pasi.
Ndakakatendeukira kwaari zvechimbi chimbi
ndokukanda chibhakera padumbu rake asi
haana
kana kuita searohwa. Akandipa mbama
yakaita
maungira Mumba umu ndokudzadzarika
ndichindowira pamubhedha. Ndakati ndoda
kusimuka ,iye ndokubva auya kuzondidzvinya
huro. Ndakada kuedza kubvisa maoko ake asi
ndakatadza. Rume rakanga rine simba iroro.
Ndakabva ndakurumidza kufunga kuti paya
pandakadonhedza banga ndakaridonhedza
pamubhedha. Zvandakazodonhera
pamubhedha
apa, ndakadonhera pamusoro paro.
Ndakarinzwa
kugogona kwaro, ndokubva ndaita sekuti
ndava
kutandadza ndichitora banga riye.
Ndakamubaya
naro paruoko nechepabendekete apa
ndokubva
andiregedza. Ndakarivhomora ndokuti
simudza
zvakare. Paakaona kuti ndava kuda
kumubaya
zvakare ,akabva afamba nenhendeshure
achidzokera kumashure rumwe ruoko
rwakabata
pandakanga ndabaya paye. Ndakasimuka
nokukurumidza ndokuenda kwaari.
Akandibanha
ruoko rwaiva banga , banga richindoti
ngwendere kwakadaro uko. Zvino apa tese
takanga tisisina chinhu mumaoko edu. Ndipo
pakabva patanga zvibhakera zvimbishi ipapo.
Chakava chisionekwi humhandara hwaamai.
Pakanga pasangana handira chaidzo kwete
sheche. Takarovana zvekuti kudai waivapo
waiti
vanaJackie Chan vari pano nhasi. Pakarepo
simba rangu rakatanga kupera. Haiwaiwaa!
Ndaizodiiwo ini ndanga ndabvira kare
ndichirwisana nevanhu? Zvakare ronda riye
randakabaiwa naFOXTROT ROMEO uye
pamukova mukuru wemba iyi rakanga
rabudisa
ropa rakawanda . akabva andisimudza zvine
simba ndokubva andikandira kumidziyo imwe
yaiva mo. Ndakaita rombo rakanaka nokuti
ndakadonha ndakatarisa kwaari nokudaro
kuuya
kwaakaita ndakamuona zvangu. Chainetsa
chete
chaiva chekuti ndosimuka sei ipapo. Akauya
achida kundisimudza zvakare. Paakakotama
achida kundibata ndakabva ndofunga
zvekumubvutira ma goggles aakanga
akapfeka ini
ndosara neangu. Ndakabvuta ma goggles ake
ndokumakandira kwakadaro uko. Ndakabva
ndanyatsoziva kuti ndabudirira Nokuda
kwazvandakaita izvi-------- iye akanga
asingachandioni asi ini ndaimuona.
Ndakakurumidza kumunzvenga ndokutora
banga
ne spray. Ndakamufafaidza ndokubva apera
simba. Ndakabaya pahuro ndokuidambura.
"MISSION ACCOMPLISHED!"ndakadaro
zvangu nechemumoyo ndokugara pasi.
Ndakatura
befu ndokutanga kufunga nhamo
dzandakanga
ndasangana nadzo. Basa pandakanga
ndatumwa
rakanga rapera. Ndakasimuka ndokunanga
pamanera paya pandakanga ndauraya nyoka
ndokwira ndichienda kugonhi rekamuri iri.
Ndakabuda ndokubva ndawana pachisina
munhu.
Nhapwa dziye dzakaungana kugonhi riye
sezvo
rakanga rakavharwa. Ndakatora ruoko
chanza
chaFoxtrot Romeo chiye ndokubaya pascreen
ndichinyora zita raFoxtrot Romeo,
membership
number uye nekuisa ma fingerprints ake.
Musuwo
wakavhurika ndokubuda mumba muya
zvakanaka. Ndakati ndoda kusvika
pagedhe ........
dhuma ne varindi vaiuya kuzotanga chijana
chavo che awa regumi nembiri. Ndakanga
ndine
nhapwa dziye. Varindi vakazvishayira pazvo
kuti
chii chainge chamboitika.
"HEY! STOP!"vakadaro varindi vaye.
Vaifunga
kuti inhapwa chete dzaiva apa sezvo ini
vakanga
vasina kundiona.
" WHAT ARE YOU DOING HERE? GO
BACK
TO YOUR ROOM OR ELSE WE WILL
SHOOT
YOU!", mumwe wevarindi ava.
Nxa! Kutoda kuzviidza vasingabviri wena,
vaimboziva here kuti boss wavo akanga afa?
Vandaiva navo vakamhanya vakamhanya
vachienda kumashure kwangu. Ndakabva
ndatora
pfuti ndokupfura varindi vaya sezvo
ndakanga
ndatsamwa.
Ndakataurira nhapwa kuti dziende
kumapurisa
kutsvaga hama dzadzo asi vasataure
zvenyaya
yangu.
Zvandakaparadzana nenhapwa paye
ndakananga
kumba kwa Superintendent Anele Mtshali.
Ndakasvika ndokubva ndavafonera ndiri
pagedhe. Vakauya vakandizarurira ndokubva
vaenda neni kune rimwe kamuri.
Ndakavatsanangurira mafambiro andakanga
ndaita. Ndokubva vandikorokotedza.
"Congratulations, Constable Jackson Sithole,
on
accomplishing the mission. We, the Leopard
Claws Gangsters, are proud of you. May you
keep
up your satisfactory contribution. U r a
reliable
patriot," ndivaMtshali vakadaro. "Thank you,
sir,"ndakapindura. Ndakanzwa kusununguka
zvishoma panguva nokuti ndanga ndadzoka
ndiri
mupenyu kunyangwe zvazvo ndaiva neronda
randakabayiwa naFoxtrot Romeo.
Ndakapiwa
sipo netauro ndokubva ndapinda mu shower
kundogeza. Ndapedza kugeza ndakabva
ndapiwa
chikafu ndokudya. Ndakaratidzwa mukamuri
mandaizorara ndokubva ndaenda kundirara.
Ndakarara kusvikepi idzo nguva dzakanga
dzava
kuna 2 mangwanani? Ndakarara
ndokuzomuka
kuma 5 ndokurongedzera rwendo rwekuenda
kuDurban uko kwandaizopiwa tsamba
yachiremba yandaizodzokera nayo kubasa
redu
rechipurisa. Ndakawoneka vaMtshali
ndokubva
ndapinda munzira kuenda kundokwira
ngarava
yaienda kuDurban sekurongwa kwazvakaitwa
nevakuru vechikwata chedu. Vaifungidzira
kuti
kufamba nendege kana zvifambiso
zvemumugwagwa zvaizokonzeresa kana
mapurisa
aizoona zvakanga zvaitika pamba paTrevor.
Ndakakwira taxi ndokunanga ku seaport
kundokwira chikepe. Pfungwa dzangu
dzaingofunga zvandakanga ndaita usiku
hwapfuura. Ndainyatsozvinzwa kuti ndaiva
mhare
chaiyo kwete gwara." Hongu , basa ndapedza
asi
ka , ndichabudirira here kusvika kumba
pasina
zvimhingamupinyi? Saka NDICHAITA sei
kana
ndikasangana nemapurisa? Ko ronda riri
paruoko harizondipinzi pakaoma iri?
Handisati
ndakunda ini,"ndaingonetsekana mupfungwa
nemibvunzo yese iyi. Ndakasvika pa seaport
ndokubva ndaburuka mu taxi. Ndakatenga
ticket
ndokupinda mu ship. Ndakandogara
pachigaro
apo nechekumberi kwaiva
nechivhitivhiti(television). Ngarava
yakasimuka
ndatapinda munzira kuDurban.
Pandazoparadzana nenhapwa paya,
dzakabva
dza.................
END OF CHAPTER 4 B.

CHAPTER 5

Pandakazoparadzana nenhapwa paya,


dzakabva
dzatsvaga nzvimbo yekurara dzimirira kuti
kuedze.
Kwakati kunze kwaedza, nhapwa dzakatanga
kutsvaga vanhu vanga vabatsira kuenda navo
kukamba yemapurisa. Vakabva vawana
vamwe
vanhu vaifamba netsoka vachienda
kumabasa.
Vanhu ava vachiona zvimiro zvaiva
nenhapwa
idzi vakabva vafonera motokari inotakura
varwere. Vakaona kuti zvaiva zvakakodzera
kuti
vatange varapwa sezvo nhapwa idzi dzaiva
nemaronda ekusungwa maoko
nemakumbo,ekurohwa zvakanyanya
neekutsva
nemoto.
Pakarepo motokari yevarwere yakauya
ndokumhanyiswa kuchipatara. Vakasvika
pachipatara ndokurapwa. Vanachiremba
vakazoona zvakakodzera kuti nhapwa dzisina
kukuvara zvakanyanya dzindopira nyaya iyi
kumapurisa. Dzakatakurwa nemotokari
yepachipata ndokuenda.
" Pamusoroi madzishe! Tauya pano nevanhu
ava.
Vari kuti vakanga vari paunhapwa pane imwe
imba iri muno muguta asi havasi kuziva
address
repamba pacho,"akadaro mutyairi
wemotokari
yevarwere."
kuti ivo............,"haana kuzopedza kutaura
nokuti
akadimburirwa naSenior Officer wepa kamba
apa.
"Chirega vazvitaurire vega tirege
kuswerovhiya
mbeva."uyu aiva senior officer
aidimbudzidzira
mutyairi.
Senior officer akanga ari murume murefu
mukobvu zviri pakati ne pakati. Mupurisa uyu
aizivikanwa nekuita basa nemazvo. Capetown
yose yainyatsoziva kuti kamba yeGreenPoint
Central Police Station panaSenior Officer
Bongani Sibambo.
"Taurai nyaya yenyu tinzwe," vakaenderera
mberi vaSibambo."Tanga tiri muutapwa pane
imwe imba iri muno muguta. Ini ndinogara
kuSommerset West.
Ndakapambwa musi wa12 July pandaibva
kundotenga grocery nemotokari yababa
vangu.
Ndakati ndichibuda mushop maPicknPay,
ndakaona umwe murume akanga akapfeka
sutu
yaiva neruvara rwemuto wenyemba.
Ndakati ndosvika pamotokari yangu, akabva
anditendeka nepfuti ndokubva ati ndityaire
motokari kuenda kwaaida. Akabva abudisa
jekiseni ndokubaya naro. Handina
kuzomboona
zvaita kusvikira ndazomuka ndiri mune imwe
imba maiva nerima. Chandakangoziva
ndechekuti
ndakanga ndapinzwa mukamuri raiva
nevamwe
vanhu. Pandakapinzwa mukamuri iri
ndakasungwa maoko nemakumbo,"ndeimwe
nhapwa yaitsanangurira mapurisa.
Mupurisa,"Ko zita rako unonzi ani?"
Nhapwa: "Ndinonzi Nkosinathi Xaba."
Mupurisa: "Address repamba pacho
munoriziva
here?"
Nkosinathi: Kwete, hatirizive.
Mupurisa: "Saka tingapaziva sei pamba
apa?"
Nkosinathi:"Hapanetse kusvika kana
tikaenda
panzvimbo patatakurwa ne ambulance
tinenge
topaziva.
Mupurisa:"Wati imi manga muri muhutapwa,
makazobuda sei?
Nkosinathi:"Zvakaitika ndezvekuti nezuro
usiku
tarara , pakati pedu isu captives pakaita
akabatidza moto pagumbeze raaiva akafuga.
Chinangwa chake chakanga chiri chekuti tese
taiva mu room imomo tife nokuti taioneswa
chitsvuku pazuva rega rega rakasikwa
naMwari.
Moto pawakanga wopfuta ,takatanga kuridza
mhere sezvo takanga totsva. Mhere iyi
yakanzwika nevairinda mumba umu
ndokubva
vauya kuzoona kuti chii chainge choitika.
Vakasvikozarura gonhi ndokutibudisa
mukamuri
umu. Vakabva vadzokera kundotora ma fire
extinguishers ndokutanga kudzima moto. Ma
guards iwayo achiri pakati pekudzima moto,
pakaita mumwe murume watisina kuona kuti
aiva
abva nepi. Murume uyu akakanda
zvimbambaira
kuvarindi ndokufira imomo.
Takatanga kuridza mhere tichifunga kuti
murume
uyu aizourayawo nesu. Akabva ati kwatiri
haana
kuuya kuzouraya isu asi kuti pane munhu
waaida,
anova iye munhu akatipamba. Akabva aenda
kuroom yemupambi uyu. Hatina kuzoziva kuti
chii
chakaitika ikoko. Mushure menguva yakati
rebei,
akabva adzoka uye isu taiva tatoungana
pamukova wekubuda nawo muimba iyi.
Akabudisa chanza cheruoko rwemunhu
ndokubaya baya pascreen yaiva paside
pedoor
richibva razaruka.
Takati tava kubuda pagedhe pakabva pasvika
varume vaviri ndokutinongedzera pfuti.
Murume
uyu akabva ava pfura vese. Akazoti fambe
nesu
zvishoma ndokutisiya tava tega."
Paingunotsanangura Nkosinathi nyaya iyi,
mumwe mupurisa akanga achinyora.
Mupurisa:"Hmmm! Nyaya iyi ihombe ma
officers.
Muri kuinzwa here nyaya iyi?"
Mupurisa 2:"Haa! Pane nyaya apa!
Mibvunzo
yangu inoti.......... Hongu! Murume ari
kutaurwa
nezvake uyu akaita zvakanaka pakubudisa
kwaakaita vanhu ava muhutapwa asi sei
asina
kuzouya kuno kumapurisa? Sei asina kutanga
aona mapurisa asati aita izvi? Zviri pachena
kuti
murume uyu anonyatsoziva nezvepamba
apa."
Mupurisa 3: Ngatichitomhanyira pamba apa
tindoona kuti zvakamira sei.
Mupurisa 1:"Nkosinathi! Saka munhu uyu
aiva
akapfeka nhumbi dzakaita sei?
Nkosinathi:"Aiva ane uniform yakafanana
neyemagadhi anorinda pamba apa. Asi
zvombo
zvaaiva nazvo zvaiva zvechisoja
chaizvo."Senior
officer/mupurisa 1:"Officers! Prepare and go
to
the scene now.
Mupurisa 1:"Ok, Sir."
Vakagadzirira ndokunanga kunanga
kuchipatara.
Motokari dzemapurisa dzakadungamidzana
nedzepachitara apa dzakananga panzvimbo
paye
pakatakurwa Nkosinathi nevamwe vake .
Vachisvika ipapo, Nkosinathi akaraira nzira
kusvika pamba paTrevor.
Vakati vasvika pa scene, mapurisa akaisa ma
barrier tapes kuitira kuti vanhu vasapinda
mukati. Vakati vachipinda pagedhe ndokubva
vaongorora zvese vachinyora nyora. Pasina
nguva vatori venhau vakasvikawo vachitora
mufananidzo pamwe chete nemanzwi."Ah!
Officer
muchiri kuyeuka here munhu uya akasangana
naye manheru?,"uyu ndeumwe mupurisa
akasangana neni ndanga ndichabva
kwaVaMtshali.
"Yaaa! Uri kurevesa ipapo! Munhu uya
nhai?"ndeumwe wake uyu.
Mapurisa aya ndiwo akandibvunzurudza
ndokuzomhanyira ku back up kuLong Beach
Mall
kwaiva kwa kudhuurwa muchina
wemari(ATM).
"Officer, mapedza nyaya yese imi. Security
guard
uya ndiye akaita izvi," ndini ndairehwa kunzi
security nekuda kwe uniform yandakanga
ndakapfeka panguva yakasangana navo.
"Chinzwaka, shamwari. Ko tikaudza sajeni
kuti
pane suspect yatakasangana nayo panguva
yatakazoenda kuback up, haizotiomeri here
nyaya
iyi?"
"Handitombozivewo,Chief,"ndeumwe wake
uyu.
" Muri kumbotaura nezvei, vakomana?"
NdiSenior Officer vakabvunza. Vakanga
vanzwa
zvaitaurwa nemapurisa aya.
Mapurisa aya abva atsanangurira Senior
Officer
zvose zvakaitika patakasangana navo
ndichibva
kwaMtshali.
"Muri kukonewa basa vapfanha! Sei muchiti
kana
maona munhu wamusinganzwisise pachimiro
nekuita kwake momusiya momuregedza?
Kunyangwe zvazvo makadanwa ku back up,
hamaizoregedza munhu. Maifanira kumuisa
mumotokari momhanyira kwamadanwa, kana
mazopedza mozobvunzurudza munhu." Senior
Officer vakanga magaka mambishi apa.
Vakanga voshushikana nenyaya dzanga
dzichiparwa zuva nezuva munharaunda yavo
iyi.
Panguva yaitaurwa nyaya iyi, mapurisa aye
akanga andiona ndiri paruva raiva pedo
negedhe
paya, akatanga kuyeukawo zvakanga
zvaitika.
Vakangotarisana ndokubva vanyarara.
Vakaziva
kuti kana vaiudza Senior officer kuti vakanga
vandionawo paruva vakasaita hanya,
kwaizova
kudenha mbada chaiko.Mapurisa akaita
zvose
zvaidiwa kuitwa, zvitunha zvakaiswa
mumabhokisi. Zvakanga zvisina kuuya got
saka to
ka zvaiva zvitanhatu. Zviviri ndizvo zvakanga
zvingori zvidimbu zvega zvega izvo
zvakanetsa
vaiisa mumabhokisi kuti vazive kuti chidimbu
ichi
ndechemutumbi upi.
Zvitunha zvakatakurwa ndokuendeswa ku
mortuary ukuwo mapurisa akanga ava
nebasa
rekuferefeta nyaya iyi. Zvakanetsa mapurisa
kuti
vawane pekutangira asi vakangotora zvimwe
zvinhu zvavaifungidzira kuti zvingazovapa
umbowo.Ma bullets andakapfurisa mavarindi
vekupedzisira ndehumwe humbowo
hwavakatora.
Chakanga chasara apa chaiva chekutangisa
basa
ravo.
Kufamba rwendo nechikepe uninyatsoona
kuti uri
kufamba munyika yemvura pachokwadi.
Chikepe
ichi chaiva nemutefetefe wezvigaro uye
zvivhitivhiti zviya zvemazuva ano ( LCD
FLAT
SCREEN). Kana uchida chikafu wairaira
vashandi vemuchikepe vouya nacho
wozobhadhara zvako.
Maivawo nemapepanhau uye mabhuku e
nganonyorwa dzakasiyana siyana. Ini
ndakabva
ndafarira bhuku rakanzi MAJOR BATTLES
OF
THE SECOND WORLD WAR. ndakaritora
ndokutanga kuverenga. Nyaya ye THE
BATTLE
OF THE PEARL HARBOUR ndiyo
yakandityisa
chaizvo. "Ko chikepe chikanyura ndiri pakati
pezienda nekuenda yemvura kudai,
NDICHAITA
SEI? Hmm! Pakaipa.
Ndakazoverengawo THE BATTLE OF
BRITAIN,
kurwisana kwakaitika pakati pemauto
emuchadenga eBritain, THE ROYAL
AIRFORCE
nemauto emuchadenga eGermany, GERMAN
LUFTWAFFE................. Panguva
yandaiverenga
kudaro, pachivhitivhiti pakatanga kubudiswa
nhai dze awa regumi mangwanani. "Hedzinoi
nhau dzichiverengwa na Angela
Dube........................................"
END OF CHAPTER 5.

CHAPTER 6.

Panguva yandaiverenga kudaro,


pachivhitivhiti
pakatanga kubudiswa nhau dze awa regumi
mangwanani. Uno, muzinda weSABC TV.
Nhau
dzichiverengwa naAngela Dube.Mapurisa
emuguta reCapetown ari kutsvaga mhondi
idzo
dzapfunya chisero muguta iri. Kwawanikwa
zvitunha zvisere pane imwe imba iri pa
nhamba
153 Everton Road, Somerset. Pazvitunha
izvi,chimwe ndechemuridzi we pamba apa,
VaTrevor Musole avo vakaramwa basa
muchipurisa makore matatu apfuura. Nyoka
yairinda pamukova wemba yavo
yakauraiwawo
zvakare. Zvichakadaro. Pane nhapwa gumi
neshanu dzakabudiswa pamba apa nemhondi
yakaita izvi. Zviri pachena kuti mhondi iyi
yaiziva
nezve pamba apa uye yaiva nechinangwa
chekuuraya vaMusole. Mapurisa ashamisika
nechiitiko ichi zvikuru sei kuziva kuti
VaMusole
vaipamba vanhu vachiisa pamba pavo apa.
Mapurisa atora danho rekuti mhondi iyi
itsvagwe
zvakasimba pasi(ground operation), mu
mvura(naval operation ) nemuchadenga(air
operation)............... "
Ndichinzwa izvi ndakanzwa vhudzi rangu kuti
nyandu. Ndakabva ndaiva kuti chandadya
chapfuka zvino. Nyemba dziya
dzazondizvimbira.Ndakatanga kuzvibvunza
kuti
SAKA NDICHAITA SEI. Ndaizokwanisa here
kusvika kuDurban kundoona chiremba
zvakanaka. Ndaingoziva kuti kana
ndaizosvika
kwachiremba zvinenge zvanaka. Ndiri pakati
pekufunga kudai , mapurisa aiva muchikepe
akatanga kutenderera achibvunza vanhu
zvitupa.
Mapurisa akanga ava kutaura
pazviovhaovha"Ship number 103! Tsvagai
vanhu
vamunofungidzira kuti vane chekuita mu
nyaya
dzeumhondi hwakaitika uhu", iri raiva inzwi
raunzwika pachiovha.
" Copied boss!"Mapurisa akatanga
kutenderera
achibvunzurudza nekutarisa zvitupa zve
vanhu
vaiva muchikepe umu. Ndakatanga kufunga
zano
rekuita kana kutaura kana vachinge vasvika
pandiri. Hana yangu yakanga yava kubika
manhanga pangu iyi asi ndaingoedza
kuzvidzikamisa kuti vasandifungire.
Pakuzvidzikamisa ndipo paiva nechipo
changu
zve!
"Vakuru! Tipeiwo chitupa chenyu!"
Ndakatora chitupa ne card rechipurisa
ndokubva
ndavatambidza.
"Ko muri mupurisa nhai?umwe mupurisa
akabvunza.
"Hongu, officer." Ndakapindura zvangu
ndakadzikamisa hana.
Mupurisa: Munoshandira kupi?"
"PaNorkem Park mu Jo'burg."ndakapindura.
" Yoo! Saka kuCapetown mabva kuzoitei imi
muchigara ku Jo'burg?
" Ndakapiwa Medical leave yangu kubasa
nokudaro ndakabva ndangotora mukana uno
kuti
ndimboshanyira sekuru
vangu."ndakapindura.
"Ndiani sekuru vako? "
"Superintendent Anele Mtshali,"
ndakapindura.
"Constable Khumalo!"akadaro mupurisa
aindibvunza uyu achidanidzira umwe
wemapurisa
aya.
" Tora scanner uuye nayo pano!Tinoda kuona
kuti zvitupa izvi hazvisi zvemukoto here,"
Mapurisa aya akanga ava kuita seari
kunyumwa
pachokwadi. Chandakanga ndava kutyira
ndechekuti kudai vaizoona ronda raiva
paruoko
zvaizosimudza mibvunzvo yakawanda.
Ndakanga
ndakapfeka jacket kuchipisa kudaro.
Pakaipa.
Vakatora scanner ndokuongorora chitupa
necard
rangu ndokuona kuti zvaiva zviri
pamutemo.Vakapfuurira mberi vachiita basa
ravo
Chikepe chakazosvika kuDurban ndokubva
ndaburuka. Ndakafamba zvakanaka
ndokuenda
kwa chiremba ndokupiwa tsamba.
Ndakanzwa
moyo wangu kurerukirwa nokuti ndakanga
ndava
nechinoratidza kuti ndaiva nda kwa
chiremba.
Ndakabva ndarapwawo ne ronda rangu
ndokupiwa mushonga ne mapiritsi. Handina
kupedza nguva ndiri pa chiremba. Ndakabva
ndaenda paSpurs ndokutenga zvekudya
ipapo.
Ndakadya chikafu changu ndokubva ndanzwa
parere moyo. Ndakanga ndaziya nenzara
pachokwadi. Ndakati ndapedza kudya,
ndakaenda kumabhazi ndokukwira City to
City
Coaches. Bhazi rakapinda munzira
ndokunanga
kuJoburg..
"Mhamha! Hope dzandarota usiku huno
hadzina
kumira mushe. Ndarota baba vachiti
kwandiri
udza mai vako muuye muzonditora
kuchipatara
handichisiri mupenyu,"uyu aiva
mwanasikana
wavaTrevor Musole achiudza mai vake
zvaakanga arota.
Norah Musole aiva musikana ane makore
gumi
nemasere uye ndiye aiva dangwe mumhuri
yavaMusole. Yakanga tsvarakadenga chaiyo
yemusikana. Waiti ukamutarisa waingomedza
mate chete. Waitotsvaga mvura yekunwa
kana
wamutarisa. Aiva mutsuku uye chiso chaiva
chakaita denderedzwa sezuva. Aiti
akanyemwerera waibva waona tukomba
pamatama ake. Haiwa! Apa nyadenga
akanyatsora nguva yake achisika
mwanasikana
uyu.
Aiteverwa nekakomana kaiva nemakore
manomwe ekuberekwa."Hope idzi hadzina
kunaka idzi, mukati kwavari kwakanaka
ikoku?"
Ava ndimai vaNorah vaipindura mwana
wavo.
"Regai ndimbovafonera ndimbonzwa kuti
zvakamira sei kwavari.,"
Mai Musole vakaedza kufonera murume
wavo asi
runhare haruna kupinda. Vakashaya kuti
zvinhu
zvanga zvava kumbofamba sei. Madhiri ese
aiitwa nemurume wavo havaisamaziva sezvo
vaivanzirwa. Chikwata che Leopard Claws
Gangsters chaiva nemutemo unoti vakadzi
venhengo dzacho havaifanirwa kuziva
nezvacho
sezvo vaizviudza kuti vakadzi vane hana
nhete
nokudaro vanozofumura gure.
Amai Musole vaigara
muBraamfontein,Jo'burg.
Vaiva nevana vaviri vaiti Norah, uyo aiva
nemakore gumi nemasere. Wechipiri aiva
Baron
uyo aiva kakomana kaiva nemakore
manomwe.
Vaiva nevana vaviri nekuda kwekuti vakanga
vasingagari nemurume wavo kwenguva
zhinji.Vakaudza hama dzemurume ndokuenda
kundotora chitunha chemurume wavo.
Zvakanyadzisa hama neshamwari kunzwa
kuti
VaTrevor Musole vaipamba vanhu nokuita
umhondi. Kunyangwe kuita kwaVaMsole
kwakabuda pachena hazvina kufumura
chikwata
cheLeopard Claws Gangsters..
Ndakafamba zvakanaka pakudzokera kumba.
Ndakati ndasvika ndakaenda kundotora
motokari
yangu yandakanga ndasiyira shamwari
yangu.
Ndakadzoka ndokugeza ndichinja mucheka
wandaiva ndakasunga paronda. Rakanga
rava
kutaridza kuti rakanga rava nani. Ndakabika
chikafu ndokudya..
Pandakapedza kudya ndakabva ndafonera
vaNdlovu ndichivaudza kuti ndakanga
ndasvika.
"Welcome back home, Constable! Report on
duty
tomorrow day shift," ndivaNdlovu ava..
Ava mangwana ndakamuka ndikagadzirira
ndokuenda kubasa. Ndakasvika
ndikatambirwa
nemaoko maviri naVaNdlovu. Vaifarira zvavo
kuti munhu wavaitya kuti angazopandukira
akanga afa.
"Wakaratidza umhare, Jackson. Ndizvo
zvinodiwa izvi." NdiVaNdlovu vaitaura neni
tiri
muhofisi mavo.
"Mangwana tiri tichakuisira R500 000 mu
bank
account yako. Ramba wakadaro"
"Thank you, Sir," ndakapindura.Ndakadavira
zvangu apa asi mumoyo mangu ndanga ndoti
handichade zveumhondi ini. Ndanga ndoda
zvekurarama upenyu husina ropa nevanhu
mumaoko angu. Zvino ndaizovaudza sei kuti
handichade zvekubata navo mabasa aya.
SAKA
NDICHAITA SEI kuti ndiwane kubuda
mazviri?
Chimwe chaindirwadza ndechekuti ndaigara
hupenyu hweubhachura ini ndine mhuri.
Ndaiva
nemukadzi nevatatu, mukomana munwechete
nevasikana vaviri. Vanogara paimba yangu
iri
muSecunda,Mpumalanga. Zvinhu izvi zvaida
kuti
ndifunge zvekuita zvichakanaka.
Misi yakafamba zvanakisisa kusvikira
mwedzi
muviri dzapera. Ndajarohwa nehana
pandakaudzwa zve kuti basa riya ratanga..
Mission yandapiwa parwendo rwuno yanga
yakasiyana neyainge yapera. Munhu aidiwa
kuti
age aiva pedo pandaigara. Muchidimbu
ndatoti
aiva muvakidzani chaiye. Haa! Veduwee.
"SAKA NDICHAITA SEI........................"
END OF CHAPTER 6.

CHAPTER 7.

Yaiva yatanga zve nyaya yekubata nekuuraya


vanhu. Panguva iyi masamba aiva achinja.
Ndaiva ndapiwa kamushina kaindiudza
zvekuita
pakufamba kwangu kwese. Kamushina aka
kaiva
kakaita sema headphones uye kainyatsoti
kwati
kwati pamusoro zvekuti wainyatsopfeka
nguwani
zvakanyatsonaka ..
Mwedzi mitatu ndakanga dzapera kubva paya
pandakauraya VaMsole. Panguva yese iyi
ndaienda kubasa, mazuva ukuzorora
ndaiverenga
mabhuku. Kufamba nzendo dzisinei
neumhondi,
kuraura mumadhamu nezvimwe
zvakatsaukana.
"Rwendo rwuno hatikuudze zvekuita,
Constable
Jackson , tinokupa Flash Drive ichakuudza
zvekuita pakufamba kwako kwauchaita.
Ukasaiterera zvainotaura hameno zvako. This
machine is very sensitive to all situations and
it
can forecast a 2 hour future," ava vaiva
VaNdlovu vaindiraira nezvekushandiswa
kwekamushina aka.
Ndakatanga kufunga pamusoro kanhu
aka,"Mukuru uyu oda kundiurayisa manje!
Anofunga kuti chinhu ichi changapfuura
pfungwa
dzemunhu here chokwadi? Hmmm! Munhu
ari
kuda kuurawa wacho ndewepedyo ,
ndikabatwa
ndichaita sei? Ndinozonyarirepi
munharaunda
ino yandigere?
"Zvakanakai Boss! Ndichaedza kutevedza
zvachichandiudza," ndakapindura ndava
kusimuka pataiva takagara tichinwa coffee
parestaurant..
Ndakapinda munzira ndokufamba ndichienda
kumba. Ndaifamba zvangu netsoka sezvo
restaurant iyi yaiva pedyo nepandaigara.
Ndakasvika ndokugara pasofa ndokutanga
kuverenga bepanhau randaiva naro. Ndakati
ndichiverenga saizvozvo ndokubva ndabiwa
nehope.
"Nhai Jackson, mwana wekwaSithole! Wadii
kusiya zvauri kutumwa izvi? Unoziva here
kuti
mweya yauri kuparadza iri kuchema
yakakutarisa? Nerimwe zuva gava
richadimbura
musungo. Ita hako,,"
"Hezvo!' Ndairota su?" Ndakapepuka kubva
mukurota.
Ndakanga ndatora murume aiva nguwo
chena,
ndebvu refu chena, nebvudzi jena. Mumusoro
aiva ne nguwani yendarama. Maziso aipenya
sezuva uye inzwi rake raitinhira
semabhanan'ana..
Zvakandipedza simba rangu kuti hwaa.
"Haasi
Jesu here wandaona uyu? Ko ndikasiya
mabasa
aya andiri kuita ndobva ndanamata zvangu
handingawani makomborero edenga?
Handinamati zvangu asi magwaro
emubhaibheri
ndinomaziva wani? Matthew chapter 7 verse
7
inoti 'Kumbira uchapiwa,tsvaga
uchawana;gogodza uchazarurirwa. Mumwe
nemumwe anokumbura achapiwa; uyo
anotsvaga
achawana ; neanogogodza, mukova
uchazarurirwa kwaari. Saka ini
ndingatadzawo
here kupiwa kana ndikumbira kunaMwari?
Ndingatadza wo here kuwana kana
ndikatsvaga
nzira naMwari," ndaingonetsekana
mupfungwa
nemibvunzo iyoyi.
Ndakasimuka pasofa paye
ndokunangakundogeza
. Ndakaswera ndakaneta musi
uyuNdakazorara
musi uyu ndisina kudya.Ndakamuka
mangwanani
ndokuenda mukamuri yekubikira ndokubika
coffee. Ndakatora putugadzike yangu
ndokuenda
mukamuri yekutandatira. Ndakagara
pachigaro
ndokunwa putugadzike yangu ndichifunga
mission yakanga yoswedera. Kuswedera
kwayaiita ndiko kushaiwa hope kwandiitawo.
Panguva iyi ndakatanga wo kunzwanana
nevanhu
vandairoja navo pa Skyscraper iyi.
Ndichiri kunwa putugadzike kudaro
ndakabva
ndakokwa ku party neumwe muvakidzani
aigara
third floor. Ndakabvuma ndokudzika
ndichienda
kuparty kuya. Ndakasvika ndokuwana vamwe
vatovako vazhinji vacho ndavatairoja navo
pa
building iyi. Murume akatikoka pa party uya
akabva asimuka ndokutanga kuzivisana hama
neshamwari. Pavanhu vaiva pa party apa
maziso
nemoyo wangu zvakanga zvaperera pana
umwe
musikana ainzi Sylivia Dube. Sylivia uyu aiva
musikana mutema aiva nebvudzi refu
rekuzvarwa
naro kwete rekutenga. Aiva chino
chivhindikiti
chaiita sechiri kutamba kana chichifamba.
Ndinovimba kuti maiziva yandiri
kutsanangura
apa.
Musikana uyu aishanda kumahofisi
emutungamiriri wenyika. Ndaiziva
kwaanoshanda
sezvo akambonditsanangurira paakatanga
kuroja
pamba apa. Aiwanzobuda muimba yake
achienda
kubasa kuma4 dzemangwanani. Aiva
nemotokari
yake yerudzi rwe Mini Cooper. Aiva muduku
zvishoma pazera rangu.
Taimbosangana maziso panguva zvinji
pataiva
pa party apa. Aiva akapfeka skirt pfupi uye
nhema ne blouse chena. Akanga achitaura
neumwe musikana vachinwa zvinwiwa asi
aingokandira maziso kwandiri. Ndakamboda
kumupfimba asi ndaimerwa nekubudisa
manzwi
enyengo. Party yakasvika pakupera ndisina
kubudisa shoko rimwe zvako.
Ndakazongozvinyara ndichiti ndaizomuudza
chete sezvo ndaigara pedo naye..
Ndakasimuka ndokutarisa kunze nepahwindo.
Kwakanga kwatosviba pachokwadi.
Ndakaoneka
ndokunanga kuimba kwangu ndokundorara.
"Aah! Kunze kwatosviba nhai?Mangwana
Manheru, chatsva! SAKA NDICHAITA SEI
rwendo rwuno?"
Zvinhu zviviri zvaindinetsa zvaiti , 1: Mission
ndaizoizadzikisira pamba pandigere, 2:
Ndaizoudzirwa zvekuita nekamushina Kaye'
Kwakati kuchiedza , ndakamuka zvakanaka
ndokugadzira pamubhedha.
Ndakambotenderera
zvangu ndiri mukamuri yangu.
Ndakabuda ndokuenda muimba
yekutandarira.
Ndirimo kudaro ndakatarisa panze
nepafasitera.
Pandakatarisa kunze kudaro , ndaiona vanhu.
Ndakaswera zvangu ndiri mumba mangu. Ava
manheru ndakabuda ndokupfeka hembe
dzisina
kujeka. Ndakatora pfuti, flash drive, nebanga.
Ndazviisa munhava ndakaenda pa elevator
ndokudzika ndichienda ku first floor.
Ndasvika
ikoko ndimira zvishoma ndiri mukamuri
yaiva
ichishandiswa se gym. Ndirimo
kudaro,,Sylivia
akabva asvikawo. Ko musikana uyu zvaaita
seanonyumwa kuti pane zviri kuda kuitika.
Aizonditadzisa kubata munhu wandaida
zvakanaka. Zvaida kuita hazvisaifanirwa
kuzivikanwa nemunhu chero ani zvake.
"Uri muno?," ndakamubvunza ndisina
tarisiro
yekubvunza mubvunzo iwoyu.
"Ehe but not to work out," akapindura.
"What then?"
Ndanga ndine basa risingaite ku office kwa
ndinoshanda. Just chilling."
Ndakabva ndambotarisa-tarisa mu gym umu
makanga musina chiedza
chakanyatsokwana .
Mainhuhwa dikita rekare uye mumadziro
maiva
makasviba.
",Must be nicer places to chill than this,"
ndakadaro.
"Ndanga ndisingatarisire kuwana munhu
muno,",akadaro Sylivia.
Except me, may be. From what you said, you
knew that I used this room.,"ndakapindura
ndakamukandira ziso rekuti asawanza nyaya.
"Ndiri kudaro nokuti ndatanga nhasi
kukuonai
muno. Handisati ndambokuonai muno,"
akapindura.
Hana yakati dhi zvishoma pandakanzwa
mashoko aya. Ko musikana uyu akambomira
sei?
Ndakabva ndafunga zvekuchinja nyaya.
"So,tough day at the office. Where do you
work?"
"In the Government's office,"akapindura.
" That's pretty impressive,"ndakapindura
ndava
kutoyemura kuti ndivo vanhu varitambira
mari
manje avo. Zvepi? Mari ndaiva nayo
kubhangi
asi yaiva yeropa ka iyi. Chimoko ichi
chaitambira
mari svinu pachaishanda mumahofisi
ehurumende.Zvakangonakawo kuti uite mari
yakachena kwete yeropa. Hongu, ndaiva
mupurisa, muzivi wemitemo asi
ndakazozvikanganisira kuzozvipinza
muchikwata
cheumhondi..
"Some days it doesn't feel impressive. What
about
you?"
Mubvunzo wake uyu hauna kundifadza nekuti
ndanga ndisingade zvekuti azive basa
randinoita,
nokudaro ndakamunyepera.
"Investments."ndakamupindura zviya zvekuti
akurumidze kusiya nyaya.
Hmm! Musikana aiwanza uyu. Ndipo
pandakaona
wapara mhosva , mhosva iyoyo yonzi
iferefetwe
nemunhu we mukadzi. Unenge watopinda
pama1.
Musikana aibvunza iyeye. Ndanga ndisingade
kutaura twakawanda asi apa nyaya dzanga
dzowanda.
" Saka munoshanda mune imwe yema fekitori
ari
muno here?"
Haa! Kkkkkk. Ndakambofunga kuti
ndimudimburire here kana kuti ndipore
zvangu
apedze mibvunzo yake iyi.
"Aiwa, ndiri kuzvishandira business rangu.
Chirega ndikusiye muno uchivarairwa hako
muno," ndakadaro ndoda kubuda.
Musikana uyu ndainzwa kuda kumupfimba
asi
nguva nechimiro chandaiva zvaiva zvisiri
zvemafaro, kwete. Zvaitoda pane imwe
nguva.
Akabva asimuka paaiva akagara ndokuti," Ini
ndinonzi Sylivia. Sylivia Dube."
"Mhoro ,Sylivia Dube."
Ndakatambanudza ruoko ndokubva taita iya
inonzi handshaking pachirungu.
Ruoko rwaiva rwakapfawirira mhani! Kwete
Kuomarara semaoko avanabhiridha ajaira
kugamha zvitinha.
"Zita rako ndiwe ani?"akandibvunza.
"Sithole"
"Forename or surname?"
Musikana aibvunza uyu. Haiwaiwaa! Aitoita
seanyumwa kuti pane zvaida kuitika.
"Surname. Rakanyorwa wani pa chibhokisi
che
tsamba apo." Ndakanga ndovaraidzwa
nekanzwi
katete kemusikana uyu. Kkkk kkkkk. Hameno
kuti
manzwi evakadzi akambosikwa seiko. Chero
rume
rine hasha dzakaita sei rikangonzwa inzwi
dete
revanhu ava rinopfava semuriwo wemuboora
wabikwa.
"And your forename?" Ndakapfurwa zve
neumwe
mubvunzo.
"Jackson.".
"Saka ndizvo zvainetsa kungoti Jackson
Sithole
chete?"akadaro achenyemwerera zvake.
Ndakangoerekana ndava kutonyemwererawo
wena. Hayaz!
"Do you go out sometimes?"
Mubvunzo uyu wakazondipedza zvino.
Zvandava
kutonyengwa? Anomaziva here mabasa
andinobata? Ma1.
"I'm not the most outgoing guy you'll ever
meet."ndakapindura.
"Ndakakuona wani Ku party iya yepa third
floor
nezuro" akadaro musikana uyu akanditarisa
mu
maziso chaimo.
"Ehe asi handiwanzoita zvema party.May be
we
can go out for a drink sometimes."
Ndakadaro
ndisina kana kudzeya mashoko iwaya.
"Okay. Sounds good,Jackson."
"Good night,Sylivia."
"Enjoy your night, Jackson.", achindipa hug.
Ndakabuda mu gym muya ndokuvhara
musuwo
ndichimusiya arimo. Ndakapinda mu elevator
ndokudzoka ku floor kwangu. Dhiri rakanga
ratopusa iri. Ndakatanga kufunga kuti
hushamwari hwandanga ndotanga naSylivia
hawaizondipinza munjodzi here. Chero
mutemo
we chikwata hawaibvumira zvandakanga
ndatarisana nazvo izvi.
Ndakati ndoda kurara, ndakanzwa pfuti
kurira
kuma floors ekumusoro mu building
mandairoja
umu. Ko chii chakanga choitika zve ichi? Ini
ndaida kundiuraya wo wandaifanira kuuraya
pa
next building nyambiswa pane vamwewo
vaitovhima vanhu peduwo ipapa. Ma1.
Ndakapfeka nhumbi dzangu dze basa
ndokutora
nhava yangu iya yezvombo. Ndakatora wo
kamushina kaya ndokukaisa munzeve
nokukurumidza. Ndakatora night vision
goggles
ndokupfeka zvakare. Ndamhanyira ku
elevator
ndokudzvanya button rokuenda kumusoro.
Ndakati ndichisvika pane imwe floor.
Ndakabva
nda
...............................
END OF CHAPTER 7

CHAPTER 8

Mhondi payakanzwa kuti paita munhu apinda


yaka manya kupinda nerimwe door
pandanzwa
kuti mumwe mukova wavhurika ndakada
kumanya ndichinotarisa kuti aiva ani asi
ndakatadza kuona face yake nekuti akange
atove
kure pandakada kutevera ndakatadza
kumubata
ndikadzokera ku fleet kuya. Ndakasvika
ndokuona
Mukadzi nemwana vanga vakati rabada pasi.
Ropa rakanga roerera mumba umu.
Ndakanetseka kuti ko mukadzi uyu akanga
aurayirwei.
Handina kuda kubata mukadzi uyu nemwana
nokuti mapurisa aizoda kutsvaga humbowo.
Pandakati ndibude mumba umu ndainzwa
inzwi
raipfikura kune imwe kamuri. Ndakaendako
ndokuona musikana ane makore makumi
maviri
ekuberekwa. Misodzi ichingo yerera. Ko chii
chaitika nhai zimhandara? Akatadza
kupindura
nekuti airatidza kurwadziwa.
Ndakatanga kutaura naye ndichimu
nyengetedza
asi chokwadi zvakange zvakaoma. Akazoti
ndanga ndirere hangu ndikanzwa kurira.
Ndada kunoona kuti chii charira? Ndisati
ndasvika ndaona varume vaviri
ndikahwanda.
Handina kuziva kuti mumwe wavo andiona.
Ndazoona akuuya kwandiri angosvika
akandiwisira pasi. Akabva anditi,"Iwe
chisikana."
Nenzwi rinotyisa,"Uri kuitei ipapo? Heee?"
Ndatanga kunamata nechemu moyo,"Mwari
kana
ndine mhosva munhu uyu ngandiuraye hake
asi
kana ndisina ndirwirei baba Amen."
Ndakanzwa oti,"Nyoni pane kasikana
karipano!
Havana kunzwanana zvakanaka,"Iwe kasira
tiende! Uri kuitei ikoko?Ngatirove pasi!"
Ndaona murume uya achibudisa pfuti
ndikatya
kwazvo. Paakada kundipfura, akabva aona
pasina chiri kubuda ndokubva ndaziva kuti
pfuti
yake yapera mabara.
Ndakazonzwa zvonzi," Iwe! Let's go! Pane
nhunhu arikuuya!"
Achibva andisiya akuenda.
"Tisapinda neuku! Ndiko kuri kubva munhu!
Handei neuku!"
"Nyoni,pane kasikana kariapo!"
"Kasiye! Ngatiende."
Ini ndanga ndichingo namata ivo
vachitaurirana.
"Aaah! Sorry nechiitiko chakadai." Ndini
ndanga
ndotaura musikana uya.
Ndiripakati pekutaura ndakafunga zvombo
zvandaiva nazvo.
"Chinzwa chisikana, ini ndakuno tsveta bag
mumba mangu. Ndodzoka
izvozvi."Photography
Nekuti ndakatya kuti panozoita vamwe
vanzwawo kurira kwe pfuti vakauya ndikazo
fungirwa.
"I'm coming now."
Ndakabuda mumba muya ndakananga ku
fleet
kwangu.
Pese ndaingo zvidya pfungwa. Vanhu ava
vangava vanga vachidei chaizvoo? Kuti
imbavha? Aaah! hameno! Ndakapinda
mumba
mangu ndikabvisa zvombo. Ndakamboda
kurega
kudzokera ndikazoti regai ndiende because
ndaonekwa ne mwana uyo. Akazoona ndati
zii
anogona kuzondipinzisa ma hwani.
"Yoooo! But ndaneta asi hapana yekutamba,"
Ndini uyo munzira kuenda kuya kwandasiya
musikana uya.
Pfungwa dzaizvidya dhiri randanga ndichida
kuti
ndiite nhasi ndatadza kubudirira. Heee?
SAKA
NDICHAITA SEI? OOH GOD HELP ME. Asi
hope dzandakarota dzaimboda kurevei?
Vakuru
vanoti hope chiporofita chikuru. Ko ndikasiya
zvandirikuita izvi? Handiwane makomborero
here?
Ndakazongoona ndasvika pa door pamba
paurawa vanhu paya. Pandakati regai
nditarise
time wanei aah 02:30 nguvazvadzatofamba.
Pandakada kupinda mumba muya wanei
musikana uya ari ega achichema aripana mai
vake ne hanzvadzi yake avo vakange
changova
chando. Aaah And I chairs sei?
"Chinyarara,chisikana! Sorry! I know
kutivzvinorwadza but wotoshinga."
Ndisati ndapedza kutaura runhare rwangu
rakarira. Ndiyaniko anondichaira nhare
nguva
dzino? Aah zvavari Va Ndlovu. Handina
kudavira
nekuti ndaiziva zvavaida.
"Rega tione kuti todii nenyaya iyi."
Zvakambondiomera nekuti ndaivandega asi
semunhu anoziva mutemo ndakabva ndati
kumusikana uya," Ngatiende kumapurisa uno
reporter nyaya iyi. Ndichange ndinewe
usatya."
Takabuda toenda ku police ne musikana uya.
Tichisvika ndakawana pane vamwe
vakomana.
"Aah, Jackson! Kwakanaka here watitsika
this
time?"
"Pakaipa, vakomana. Ndauya nemusikana
uyu."
"Aaah hesi bby?"
"Ndiribho."
"Tingakubatsira nei, nhai zimhandara?"
"Mummy vangu vaaaaaaaa," haana
kukwanisa
kuzopedzisa avakuto yerera misodzi.
"Wati mai vako vadii chisikana?"
"Ndanga ndiri mumba mangu ndikanzwa
kurira
kwe pfuti. Ndavhunduka ndikamanya
kunoona
kuti chii chaitika. Ndipo pandaona mai ne
mwana
mucheche varere pasi.
Ndichri kutarisa ava, ndanzwa kuvharwa kwe
door ndikamanya kunoona kuti ndiyani
ndazongoona vakomana vaviri vatova kure
ndazama kutevera asi ndatadza kuvabata
ndazodzoka zvakare mumba muya ndipo
pandanzwa kupfikudza ndikaona musikana
uyu,"
ndakatotaura nekuti ndakaona kuti hapana
chaizotaurwa ne mwana uyu achichema.
"Thanx, Jack! Waita zvakanaka."
"Saka zvichireva kuti munogara pa fleet
rimwe
chete handiti?" ndeumwe mukomana
akandibvunza.
"Hongu, tinogara pamwe."
Pataitaura pese apa mukomana uya ainyora.
"Aaah! Jackson anozviitisa atadza kutevera
vanhu. Kwaaa!"
Vakaseka zvavo vamwe vandaishanda navo.
"Zvakaoma vanhu vanozviita vakangwara
izvo
pasina."
Zvese izvi zvitaurwa ndakange ndakanyarara.
Anga achifanirawo kudii veduwe anga ariega
zvakare munhu unenge usina kugadzirira.
Umm!
Zvakaoma hazvo.
"Jack handei kumba kwenyu tinoona kuti
zvakamira sei."
Takapinda mu motokari tonanga kumba
tichisvika nhare yangu yakarira
zvakare.Ndakabva paiva nevanhu
ndikadavira
"MASWERA SEI?"
"NDASWERA ZVAKANAKA."
"Ndambofona ukasadavira foni."
"Aaah! Sorry boss. Pane zvaitika, pamba
pedu
pana mai nemwana vapfurwa ne pfuti
vakafa."
"Saka wadii? Waita here dhiri riya?"
"Handina kuzokwanisa nekuti ndanga ndava
apa."
"Heeei! Mawhani! Ndiyo nguva yawanga
uchifanira kuita basa iyoyo,kuti zvinzi vanhu
vauraya ndivo vauya uko futi."
Vakadimbura nhare yavo vanekutsamwa
kukuru
kuti hapana zvandaita.
' Zvakaoma Ndoita sei?'
Ndakafamba ndoenda kunevamwe zvitunha
zvotoiswa muma bhokisi aya ekumapurisa
ndofunga wariziva zibhokisi randirikureva.
Ndichitarisa nguva ndakaona dzatova 05:00
zvakwatochena nhaii? Ndaitaura ndega
mumoyo
mangu. Takatanga kuongorora mumba
muyaaaaaaa.
"Eee! Musikana! Unonzani?" Ndemumwe
mupurisa akabvunza.
Tisati tatakura zvitunha takananga
kuongorora
mumba muya. Ini semunhu wemutemo
ndakabva
ndatotanga basa. Takazama kutsvaga asi
hapana
chatakawana.
"Aaah! Iwe, Jack! Zvepano zvinopedza
simba. I
think imbavha dzauya muno," Vakomana
vandaishanda navo vaitaura. Takasimuka
ndiye
hutu tonanga ku kuchipatara kunosiya
zvitunha.
Tikadzokera kukamba tichisvika dzakange
dzatova kuma 7:12. Ndakatya ndichiona
VaNdlovu.
'Aaah! Jackson! Ndiwe wakasangana
nevakomana manheru?"
"Morning sir?" ndakavamutsa ndisati
ndavapindura.
"Morning constable! Ko zvakafamba sei?
Chii
chakaitika?" Ndakava rondedzera zvese
zvakanga
zvaitika.
"Okay! Saka zvichaitika ndeizvi,Iwe Jack
ndiwe
uchaita nyaya iyi. Ukapedza zvauri kuita
uzondiona,"VaNdlovu vakataura vachitoenda
ku
office kwavo. SAKA NDICHAITA SEI?
Takapedza kugadzira mapepa amai ne
brother ya
Shirley. Ndikabuda ndoenda ku hofisi ya
VaNdluve. Ndaka gogodza musiwo.
"Come in!" Ndakabva ndapinda
"Gara zvako apo."vakadaro vaNdlovu
vakawetsura maziso akanga akati piriviri
sevatosvorwa nemhiripi.
"This time you disappoint me Jack. Why
Jack?"
"Sorry, Sir! Ndakatomboedza asi zvanga
zvakaoma."
"Asi unofanira kutobata munhu uya."
"Ok,shefu. I can try again."
"Yaaah itasaizvozvo ndinovimba newe..
"Eee! Musikana! Unonzani?" Ndemumwe
mupurisa akabvunza.
" Nxaa! Mudhara anopenga uyu. Sei
achitamba
neupenyu hwangu kudai? Anodii kuita iye
amene
zvauri kundituma izvi?"
Kuita kwavo kwakanga kwandigumbura
pachokwadi. Ndainyatsoziva kuti gava
richadimbura musungo nerimwe zuva.
Nyemba
dzataidya idzi dzaizozvimbira chete chero
zviite
sei.
Ndakaswera pakamba ndichiita basa
nevamwe.
Ndakapedza chijana changu(shift) ndokuenda
kumba.
"Shirley," ndakadeedza musikana uyu
ndichida
kumbomubvunza.
"Bhudhi!,"akadavira akanyatsonditarisa mu
maziso chaimo.
" Ko hauna hama dzaunadzo here tidzifonere
dziuye dzizokutora?"
"Ndina babamukuru vangu vari kuCapetown.
Zvino ndakanzwa kuti vakaurayiwa
nematsotsi
pamwedzi mitatu yapfuura,"Shirley
akapindura
nenzwi rainzwisa tsitsi.
"Vainzi ani babamukuru
vako?"ndakamubvunza
zvakare.
" Vainzi VaTrevor Msole."
Mhinduro iyi yakandipedzisa simba.
Wakandisiya
ndangoti tuzu sehuku yanayiwa. Aizviziva
here
kuti ndini ndakauraya babamukuru vake?
Saka
akazozvibata, NDICHAITA SEI?
Zvichazoguma
nepi?
"Hazvinei, dear!" Zvinowanikwa."
Ndakagadzira chikafu ndokudya. Shirley
aitya
kurara kumba kwavo nokudaro
ndakamugadzirira pekurara mune imwe
kamuri.
Akamboda kuti anotya kurara ega zvakare
ndokubva ndamunyepera kuti mukamuri
maiva ne
alarm system, ndaizozvinzwa kana pakasvika
munhu. Ndanyatsoona kuti hazviite kuti
tingarara
muimba imwe chete. Zvakaoma
sekuchengetesa
imbwa mudzonga wenyama. Ndanga
ndisingade
kuti ndizoti dai ndakaziva. Zvakare mwana
uyu
aichema hama dzake dzakashaya, ini ndipo
ponditi takarasima neimwe nyaya! Haaa!
Kwete
zve!
Nguva dzakati dzoenda kuma12 pakati
pehusiku.Ndakamuka ndokutora nhava
yezvombo
ndokunanga pa elevator. Ndakaita
zvekunyahwaira ndichifamba zvisina ruzha
kuitira kuti ndisamutse Shirley.
Charovedzera charovedzera gudo rakakwira
mawere kwasviba. Hatichazivi zvedu kuti
gudo iri
paraiva pamawere apa, raikwira here kana
kuti
raidzika.Kkkkkkkkkkkkk. Ndaitofanira kuti
ndiite
zvandarairwa nokukurumidza nokuti simbi
inorohwa ichapisa. Handaifanira kuita
chinono
chinenge chengwe ndichitadza kuita hwebere
rakadya richifamba.
Ndichingoti pfacha kusvika,ndakabva
ndavhura
gedhe ne access card yandakanga ndapiwa
naVaNdlovu. Hameno kuti vaimawana sei ivo
vasingagari panzvimbo apa. Ndakafamba
ndichienda ku building yandaifanira
kundouraya
munhu aidiwa uyu. Ndichisvika
ndakanyahwaira
ndokumira pagedhe. Pagedhe apa paiva
nema
camera uye pama gadhi airinda ipapo.
Ndakaburitsa access card munhava
ndokuvhura
naro gedhe duku rinopinda vanhu chete.
Rakavhurika ndokunanga kune elevator ye
maflats aya ndokukwira kumusoro.
Ndakasvika
ndoku........................
END OF CHAPTER 8.

CHAPTER 9.

Ndakasvika ndokumira pagonhi repaflat


yemunhu
uya wandaifanira kuuraya. Ndakaisa nzeve
yekurudyi pagonhi ndichiteerera kuti mune
vanhu
here. Ndakanzwa kuti muflat umu maiva
nemunhu
kana vanhu vaiona mutambo webhora
pachivhitivhiti. Ndakatanga kugaya kuti
ndichaita
sei kuti ndipinde mumba umu.
Ndichiri pagonhi apa, gonhi rakanzi bheu
kuvhurwa. Veduwee! Ndarohwa nehana.
Ndakshaya simba rekuti ndiende pakavandika
sezvo ndakanga ndisingazivi munhu
wandaida
kuuraya. Pakabva pabuda mumwe mukadzi
mukobvu zvakanyanya zvekuti kana
achifamba
azvidhonza sedhadha.
Ndakamutarisa wanei Aah ndiStation
Commander wepakamba patinoshanda.
"Aaah! Constable Jackson! Kuzondivinga
pasina
kundizvisa, kwakanaka here?"
Ndakashama muromo zvekuti kudai dafi
raitokwanisa kupinda risingamakidzike.
"Pindurai ka ndisati ndadana mapurisa ari
paduty akusungei!"
Aika ka! Apa pakanga patoipa.Pakanga
podiwa
kufunga nokukurumidza kundidzikamise
police
station commander vedu ava.
Honai yandazoparirwa naVaNdlovu iyi.
Kuraira
kuti ndiende pamba pemukuru wepakamba
patinoshanda shuwa. Ndiko kusaka vakati
havaizondiudza zvekuita nhai? Ko kamushina
kavakandipa kacho kadii kundiudza kuti
ndasvika
pamba PA station Commander? SAKA
NDICHAITA SEI ini? Kwava kutofira mujeri
ka
uku?
"Constable! Ndava kukupai last chance.
Ndati
muri kudei pano?
Tichakatarisana kudaro, kamushina kaya
kakatanga kutaura zvaingonzwikwa neni
chete,
"THIS IS THE WANTED PERSON! KILL
HER!"
Aizve! Ko vakatadzei zve mai ava? Nhai
veduwee,
zvii zvanga zvoitwa nechikwata chedu ichi?
Hmmm!
Pandainetsekana nepfungwa idzi, Amai
Mleya
vakadzokera mumba nechimbi chimbi
ndokutora
panic button ndokuridzvanya. Ini
pandakatoona
kuti pano pashata, ndakapinda wo mumba
mavo
umu ndokuvadzvinya huro. Pasina nguva
ndangonzwa simbi kuti dhee mumusoro
mangu.
Ko ndiani zve andirova?Ndakanga ndarohwa
nemwana wavo uyo aiva nemakore gumi
nemana. Zvisinei, handina hangu kukuvara
zvakanyanya asi ndakamboti zee nekuda
kwedzungu.
Pavakada kuti vaende kundotora pfuti, Amai
Mleya, ndakabva ndabudisa pfuti yangu
ndokuvapfura mumusoro chaimo. Mwana
wavo
paakada kuti atize ndakamupfurawo
ndokudonhera pasi. Ndakabva
ndavadambura
huro kuti ndive nechokwadi chekuti vafa.
Chiriporipotyo, motokari dzemapurisa
dzakabva
dzasvika kugedhe kwemaflats aya.Veduwee!
Apa
ndipo pandakaona kuti hupenyu hwangu
hwakanga hwava patambo. Zvaida kuita
zvechivindi chaizvo. Handaida kuti ndizofira
mujere, kwete. Asi ka zvandaiva ku flat
rekumusoro kudai ndaizodzika nekupi nekuti
pa
elevator hapaizoita sezvo ndaizowira
mumaoko
emapurisa . Ndakamhanyira pahwindo
ndokubuda napo. Ndakabatira pa pipe
inotakura
tsvina yemuchimbuzi neye shower ndokudzika
sendiri kutsvedzesa maoko pairi. Pipe iyi
yaiva
kuseri kwemaflats aya, nokudaro mapurisa
haana
kundiona. Ndakauruka durawall
ndokumhanyira
pakasango kaiva pedyo.
Ugh! Ndakatura zibefu rimwe raiva
raivhundutsa
nembeva. Ndakanga ndapunyuka
pachokwadi.
Asi ka! Yakanga isiri nguva sezvo ndakanga
ndisati ndasvika kumba kwangu.
Shirley zvaakasara akarara, akatozomutswa
ruzha rwepfuti panguva yandaipfura Amai
Mleya
nemwanakomana wavo..
Akabuda achimhanya semuseve achienda
kukamuri randairara.Akasvika ndokuvhura
gonhi
achipinda mukamuri mangu wanei aingova
machira chete.
"Mukoma Jackson! Mukoma
Jackson!"Shirley
akadanidzira nenzwi raiva nekuchema uye
kurwadziwa moyo. Pakarepo pfungwa
dzekuurayiwa kwamai nehanzvadzi yake
dzakamushanyira. Akanga ongodemba demba
iyo
misodzi yaiva nzizi mbiri dzinobva
muchikomo.
Nhai Mwari! Ndicharamba ndiri wekuchema
kusvikira riniko? Handichina mhamha
nehanzvadzi yangu, zvavari ivo vandaiziva
,ndiani achandiriritira zvandichiri mudiki
kudai?.
Zvakamunetsa mupfungwa iye Shirley. Achiri
mumba umu, akabva anzwa motokari
dzemapurisa dzairidza ma 'siren' dzichiuya
pamba paPolice Station Commander wedu,
Amai
Bridget Mleya. Shirley akabva afunga
zvekuenda
kundoona mapurisa aya achivaudza
zvekushaikwa kwangu ini Jackson.
Asati abuda akaringa-ringa mukamuri
mangu
muya ndokuona 'pepperspray'. Akaitora
ndokuisa
muka'handbag' kake ndokunanga
pa'elevator'.
Akadzvanya bhatani rekudzika ndokuenda
pa'groundfloor'. Achisvika ipapo akasangana
nevagari vepa'flat' apa ndiye tande kwanga
kune
mapurisa..
Ini, zvandazopinda mukasango kaiva kuseri
kwe'flat' iyi, ndakabva ndafamba ndiri
mukarukova kaidimura ne pakati pekasango
aka.
Ndakafamba ndichienda kure nepa'flat'
paigara
station commander. Divi randaenda naro iri
kwaito kuenda kure nekwaigara. Ndaigaya
zvekuti mapurisa atange apedza zvaaifanira
kuita
ndozoenda kumba..
Ndichingoti fambe chinhambwe chingoita
kiromita imwechete, kwandakanga ndabva
kuya
kwakanga kwava nezvikopokopo zviviri
zvaibhururuka nechepamusoro pemiti. Hama
dzangu! Ndakanzwa kutya kwakanyanya
zvekuti
pfungwa dzangu dzakavhiringika. Nyemba
dzandakanga ndadya dzakanga dzozvimbira
pachokwadi. Chisi chandakanga ndarima
chakanga chava kuera panguva iyi. Ziya
rakanga
roti teu teu kuerera. Mukanwa makanga mati
gwaa kuoma. Ko yaiva nyota here? Ko
chaiva
chii? Ndakatoshaya kuti zvinhu zvakanga
zvava
kuita sei.
Ini ndaiva nechipo chekuti chero zvikaoma
nemutowo upi zvawo, handaipererwa
nemazano.
Aitozopera ndapinda mujere kana
kupukunyuka.
Zvakare ndaipika kuti chero vaizondisunga
handaigara mujeri kwenguva refu. Ndaitotsva
mabudiro kana kufa ndichiedza.
Zvikopokopo zviya zvakanga zvichitsvaga
zvichiuya kwandaiva, nokudaro ndakafunga
zvekubuda munzvimbo iyi. Ndakabuda
nokukurumidza ndokuenda kuenda
kumugwagwa
waienda ku'flat' kwandaigara uchipfuura
nepa'flat' paigara Station Commander.
Ndakati ndasvika pamugwagwa paya,
pakabva
pauya bhazi iro raienda divi rekwandaigara.
Handina kuda kuswerovhiya mbeva,
ndakabva
ndarimisa chiriporipotyo ndokumira.
Ndakapinda
ndokuenda kundogara kuzvigaro
zvekupedzisira
kumashure. Handaida kuti vanhu
vazondifungidzira aiwa. Bhazi rakasimuka
ndiye
tande nemugwagwa. Takasvika paiva
nemapurisa
vachiratidza kuti vaiva mubishi rekutsvaga
mhondi munharaunda dzakapoteredza
nzvimbo
iyi. Vakangobvunza rezenisi kumutyairi
ndokuenda zvavo. Bhazi rakasimuka
ndokuenda.
Shirley achangoti fambei zvishoma, akabva
asangana neumwe wevarume vakauraya mai
nehanzvadzi yake. Akabva asanganidzana
maziso
naye ndokuzivana. Apa pakabva patotanga
imwe
nyaya zvakare. Murume uyu zvaakaona kuti
azivikanwa, akabva atoronga kuuraya
Shirley.
Shirley paakaonawo kuti ava kurondwa pese
paari kuenda akabva afunga zano
rekunzvenga
murume uyu.
Akabva aona bhazi richiuya ndokubva
arimisa.
Akapinda ndokunanga kuzvigaro
zvekumashure
kunova ndiko kwandakanga ndakagara.
Pandakangoti baa, kutarisa ndakaona kuti
Aaah!
Uyu musikana zvaari Shirley. Sezvineiwo,
haana
kundiona panguva iyi, nokudaro ndakabva
ndavanda kuti asandiona. Ndakaziva kana
aizondiona, aizoshungurudzika sezvo
aizofungidzira kuti ndakanga
ndamutiza.Zvakare
aizonditema nemibvunzo dzakawanda uye
dzaisapindurika mune ruzhinji.
Sezvineiwo, akauya ndokugara pachigara
chepamberi zvekuti ini ndaiva mugotsi make
chaimo. Zvaakapinda mubhazi kudai,
murume
uya aida kumuuraya akakwirawo mubhazi
imomo. Akauya ndokugarisana naShirley.
Shirley
haana kuita zvebapu akangodzikamisa hana
akapinza ruoko muchibhegi chake. Bhazi
rakamutswa ndiye hutu. Ini handina kuzoda
kudzika pamba pangu sezvo ndakapindwa
nepfungwa yekuda kuona kuti Shirley ainge
afunga zvipi. Musikana uyu ndakanga
ndomunzwira tsitsi, nokudaro handina kuda
kumusiya.
Pandakanga ndakagara pachigaro
chekumashure
kudaro, ndakabva ndaona kuti Shirley
akanga
asina kugadzikana uye airatidza kutya
murume
uyu. Ndakatadza kuziva kuti chii change
chava
kuitika.
Pasina nguva ndazonzwa, pfaaaaa!Shirley
akafafaidza 'pepperspray' kumeso kwemhondi
iya, ichibva yati mhere kwetsu. Vanhu vose
vaiva
mubhazi vakati maziso ji ji ji kutarisa
kumashure kwataiva.
"Ko chii chava kuitika kumashure
uko."mutyairi
akabvunza.
Hapana akadavira. Murume uya akabva
apinza
ruoko homwe yebhachi rake ndokubudisa
pfuti.
Zvaaita zvese izvi zvaiva mu maziso angu.
Ndakasimuka nekurumidza ndokuenda
kundobvuta pfuti yaiva nemhondi.Panguva
yandakasimuka, Shirley akabva andiona.
Akasimuka wo ndokuuya kwandiri.
Akasvikondimbundira ndiye mhere kwetsu.
"Mwana uyu zvaanga ava kunditora sehama
yake? Ko akazoziva mabasa andaiita aya
aizozvitora sei? Handina hangu kutevedza
zvaaida panguva iyi. Chandakangoita chete
kubvuta pfuti where ndokuikanda kuiviga pasi
pechimwe chigaro.
Ndakabva ndafunga zvekudzika mubhazi umu
nokuti mainge matoshata.
"Shirley! Ngatibude muno!
Kurumidza",ndakadaro apo ndakabata ruoko
rwake ndichimudhonza kuti tibude. ..
"Iwe , une pfuti ka iwe? Uri kudei muno? "
mutyairi webhazi akandibvunza.
"Watosvorerei umwe ne 'pepper
spray?"akakandira umwe mubvunzo ndisati
mibvunzo yekutanga.
" Heya? Ndini ndatosvora umwe
nhai?"ndapindura nemibvunzo.
Mutyairi webhazi aiva aona sekuti ini ndaiva
ndakonzera bvongamubopoto. Munoziva?
Kana
munhu uri wemunyama , uchagara uri
munyama.
Ndakanga ndotopiwa mhosva yandisina
kupara.
"Une pfuti ka iyo, une rezenisi here yekubata
pfuti? Ine mvumo here pfuti yako?"
Handina kuda kupindura mubvunzo yese iyi.
Chinhu chainge chava mupfungwa mangu
kubuda
mubhazi umu. Bhazi rakamiswa, mutyairi
ndokufonera mapurisa. Izvi zvakabva
zvandibhowa zvekuti ndakafunga
zvekuparadza
bhazi iri nechimbambaira.Ndakapinza ruoko
munhava yangu ndokubudisa chimbambaira
chiye ndokuchisunungura kuti chiwane
kuputika.
Vanhu havana kuona kana kuziva kuti
chandaiva
nacho chaiva chimbambaira. Ndakachikanda
pasi pezvigaro ndokubva ndabata ruoko
rwaShirley ndokumudhonza tichibuda
mubhazi.
Takati tichibuda mubhazi, takangokwanisa
kukanda nhanho dzingoita gumi neshanu
kubva
apa, takanzwa 'bhumuuuuu!' Chakaputika
chimbambaira!
Ini na Shirley, takasimudzwa nemhepo yacho
ndokutirasira kwakadaro uko..
Ndakamuka kubva pandakanga ndadonhera
ndokutsvaga pakanga padonha Shirley.
Akanga
adonhera chinhambwe chingangoita ma mita
gumi nemasere kubva pandakanga
ndadonhera.
Ndakasvikomuzunguzira sezvo akanga aita se
afa
mahafu. Pakarepo akavhura maziso, ini
ndokumuti dzvi ruoko ndichimubatsira kuti
asimuke.
"Ko hauna kukuvara here,Shirley?
ndakabvunza
nezevezeve sezvo ndaisada kuti tinzwikwe
kana
kuonekwa nevanhu. Takabva taita hoche
koche
maoko muhuro dzedu ndokufamba nedivi
raiva
nemhindo..
Zvarakaputikira mubhazi umu, bhomba
rakaparadza vanhu nebhazi zvakanzwisa
tsitsi.
Marara, simbi, nengengo dzevanhu zvakanga
wararaaa panzvimbo iyi. Zvisina kukwanisa
kusimudzwa kubva pabhazi iri zvakabva
zvaitwa
gochi gochi chaiyo.
Ini naShirley tisu tega takarara sezvo
chimbambaira chakazoputika tava
chinhambwe
kubva paiva nebhazi.
Usiku ihwohwo, ndakafunga zvekundotora
motokari yangu yerudzi. Ndakataurira
Shirley
zvandakanga ndafunga panguva iyi.
Takafamba
nemugwagwa takananga kumba kuya
kwataigara.
Tiri munzira kudaro, takabva taona kamwe
kamotokari ndokubva takamisa
ndokukumbira
'lift'. Takasvika pataidzikira ndoburuka
mumotokari. Ndakaenda pandaipaka
motokari
ndokuimutsa. Handina kuda kuenda kuflat
kwangu,ndakangoti Shirley apinde
mumotokari
tiende.
"Tava kuenda kupi zve nhai mukoma?"
Shirley
akabvunza achiratidza kuneta uye kusafarira
zvandakanga ndafunga panguva iyi..
"Ndiri kuda kuti undogara kwakasununguka,
shaa. Tarisa, vanhu vari kuda kukuuraya."
Ehe. Chaiva chokwadi ichi asi ini
ndaitotizawo
nyaya dzangu. Ndanga ndisati ndabatwa
hangu
asi ndaiziva gava raizodimbura musungo.
Chokwadi chaivapo ndechekuti ndaienda
naShirley kune imwe imba yangu yaiva
Delmas
kwaiva kune mapurazi. Imba yangu iyi yaiva
pakati perimwe sango raiva nemiti mirefu.
Pamba apa paiva nezvese uye ndaiva
ndakaisa
'alarm'.
"Mukoma! Ndokumbirawo kuti
mundibatsirewo
kuviga mai ne hanzvadzi yangu," akadaro
Shirley
zvakare. Ndakanga ndomunzwira tsitsi
pachokwadi. Chero zvazvo zvakanga
zvisingatenderwi kuti nhengo yega yega
yechikwata cheLeopard Claws Gangsters
chigare
nevanhu vechikadzi, chisikana ichi chakanga
chapinda mumoyo mangu. Vazhinji
vangafungidzira kuti ndaida kumuita mukadzi
wangu asi chokwadi chaivapo ndechekuti
ndakangonzwira tsitsi chimiro chaakanga
anacho.
"Zvakanaka,Shirley.
Ndichakubatsira."ndakadaro
pfungwa dziri pamugwagwa.
" Muzondibatsirawo kutsvaga mhondi
dzimwe
mhondi dzakauraya hama dzangu pamwe
chete
nababamukuru vaMsole,"akadaro zvakare.
Hana yangu yakati chii chii kurova zvine
simba.
Musikana uyu akanga ondiyeuchidza zvinhu
zvakanga zvapfuura. Veduwee! Zvakaoma.
"Ndichaedza kuita saizvozvo."ndakadaro
nenzwi
riya rekuti akurumidze kunyarara..Ndiri
munzira
kudaro ndakapinda nepa 'filling station'
ndokutenga zvekudya. Ndakasimudza
motokari
ndiye hutu kuenda.
Ndakazosvika pamba pangu paya ndovhura
gedhe ne 'remote transmitter' ndokuzaruka.
Ndakapinza motokari yangu mugaraji.
Takadzika
ndokukwira manera tichienda kumakamuri
ekumusoro. Patapinda mumba, zvinhu zvese
zvairatidza kuti ndanga ndava nenguva
yakareba
ndisingari pamba apa.
"Shirley! Ndiyo imwe imba yangu ino.
Hakuna
umwe munhu anosvika kuno. Ndinovimba
kuti
waona kuti nzira yatafamba nayo iyi
haiwanzoshandiswa," ndini ndaiudza Shirley.
"Sununguka kuva pano, hanzvadzi yangu. Ini
ndava kuda kurara ini. Kana woda kurara
unopinda mubedroom iyo. Magumbeze
nezvese
zvaungada kushandisa zvirimo imomo. Kana
uchida kugeza unopinda pagonhi iro . Ndimo
mu
shower imomo. Chimbuzi chiri nechepadivi.
Muno matiri ndimo mekutandarira. Imba
yekubikira ndiyo ine gonhi rawakatarisana
naro
iro," ndakamuraira zvese zvemumba umu.
Ndakapinda mubedroom mangu ndokurovera
matama pasi. Iye akapindawo mubedroom
yandakamuraira ndokurarawo.
Ndakazopeputswa nefoni yakanga yorira.
Ndakatarisa kuti akanga ondivhiringidza
hope
dzangu ndiani ndokuona kuti
aiva........................................
END OF CHAPTER 9

CHAPTER 10.

Ndakazopeputswa foni yakanga yorira.


Ndakatarisa kuti akanga ondivhiringidza
hope
dzangu ndiani ndokuona kuti aiva VaNdlovu
vaivafona. Ndakamboramba ndakaiti ndee
kutarisa ndichifunga kuti ndoidavira here
kana
kuti ndorega.
Ndakangoti ndiipundure ndinzwe kuti vari
kuti
kudii.
"Constable Jackson! Muri kupi?"vakadaro
VaNdlovu nenzwi riri pamusoro.
Painzwika mamwe manzwi aitaura
nechepasi.
Mubvunzo uyu wakandikanga mate mukanwa
sezvo ndakanga ndisina kugadzirira
mhinduro ye
mubvunzo uyu. Ndakabva ndafunga nhema
dzekuudza mukuru uyu nokuti ndanga
ndisingade
kuudza munhu chero munhu upi zvake
nezveimba
yangu yekupurazi iyi.
"Mangwanani,Captain!. Ndiri kumba
kweshamwari yangu iri kuno kuBoksburg."
Ndakanyepa zvangu ndakanyatsodzikamisa
hana
yangu sepasina zvandaiziva. Ndainyatsoziva
kuti
pane mamwe mapurisa pavaiva..
"Mhanyai kuno,Constable! Tarasikirwa na
Station commander vedu kuno!"vakadaro
VaNdlovu.
" Tiri kukuda pano izvezvi."vakadaro
vachibva
vadimbura mbozhanhare yavo.Ndakatanga
kufunga kuti kana ndasvika ikoko
vachazvitora
sei. Zvakare hapana vangafungidzira kuti
ndini
ndakauraya Amai Mleya..
"Shirley! Chimbosvika pano,"ndakadana
Shirley.
Akauya pandaiva ndigere pasofa. Asvikogara
pedo neni chaipo. Kana kutombotya zvake
kuti
taiva mukati mechakasara musango. Hameno
kuti
akanga ondiona sa ani wake chaizvo izvo.
Hongu,
ini ndaiva mhondi yemandiriri asi handaida
kurwadzisa musikana uyu. Moyo wekurera
wakanga wandibata paari..
"Ndauya, bhudhi!"akadaro akanditi ndee
neziso
riye rinotaura kuti 'nhai bhudhi, hamusi
kuonawo
here kuti ndinokudai.' Katarisiro kacho
kakabva
kandipa kadzungu kaya kekuti unoshaya
zvekutaura wakangotarisa chete. Ndakabva
ndatoona kuti ndikasatarisa divi ndingabva
ndapinda mune imwe nyaya. Ndakangotora
foni
yangu ndokubaya baya sendaiva ndine
zvandaitsvaga..
"Ndadanwa kukamba nevakuru vedu,"
ndakadaro
ndibayabaya foni yangu iya.
"Nyaya iripo ndeyekuti uchasara pano
ndimboenda kwandadanwa ikoko.
Ndinodzoka."
"Iii! Bhudhi! Mandida here, chokwadi!
Mondisiya muno ndega?"
Musikana uyu akanga apindwa nekutya
chaiko.
"Usatya hako, Shirley. Ndinodzoka izvezvi."
Ndakamunyengetedza kusvikira abvuma
kusara.
Tichiri pakukurukura kudai, pachivhitivhiti
pakabva pabudiswa nhau.Pakatanga
kutaurwa
nezvekufa kwa station commander vedu,
Amai
Bridget Mleya ne mwanakomana wavo.
Pachibudiswa mufananidzo yemawanirwo
avakazoitwa vakafa mumba mavo. Zvakava
zvinhu zvakashungurudza veruzhinji
kunyanya
hama neshamwari dza Amai Mleya.
Vakatakurwa
nemotokari yemapurisa ndokubva vaendeswa
kundoongororwa nanachiremba(post
mortem).
Vakatsanangura zvakare nezvekufa kwamai
nehanzvadzi ya Shirley. Shirley akatanga
kuchema panguva iyi. Ndakabva
ndamudzonzera
pandiri kumumbundira ndichimunyaradza.
Iye
akabva anyatsondigumbatira nemaoko ese.
Hii!
Mwana uyu! Zvaakanga oita apa zvanga
zvoda
kutiisa pane chimwe chidanho. Ini
ndaimunzwira
tsitsi panhamo yakanga yamuwira asi iye
akanga
oita zvakapfurikidza.
Takapedza chinguva takabatana
ndichimunyaradza kudaro. Takazoregedzana
pavakutsanangurwa tsekwende yatainge
tasanganana nayo pausiku hwaiva
hwapfuura..
"Usatya hako ndinodzoka izvezvi. Kana pane
chinenge chashata ungonditumira SMS
ndobva
ndakufonera. Pamba pano pakanaka nokuti
pane
alarm system. Rega ndikuratidze kuti unoita
kuti
ishande."
Ndakamutsangurira zvese zvaaizofanira
kuita..
Ndakatora ma keys emotokari ndokuitsa
ndiye
hutu ndakanga kuNorkem Park Police
Station.
Ndakatanga kusvika kumba kwangu.
Chinangwa
changu chaiva chekuda kuziva zvimiro
zvaivapo
panguva iyi. Ndakasvika ndokumisa motokari
yangu mugaraji. Ndakabuda ndokuenda pa
elevator ndokukwira ndakananga pa unit
pangu..
Ndakasvika pafloor yangu ndokupinda
mumakamuri angu ese ndokuona kuti zvinhu
zvakanga zvamira zvakanaka kunyangwe
zvazvo
Shirley asina kukiya magonhi zvaakabuda
mumba umu.
Ndakati ndobuda mumba mangu ndiye
dhuma na
Sylivia. Akanga akapfeka hembe dzakanga
dzakati mba kubata muviri wake.
"Hesi kani Jackson,"akadaro Sylivia.
"Aaah! Ndi Sylivia! Ndiri nani. Uri seiwo
iwe!"
"Ndiri nane zvangu. Asi wakutoenda kubasa,"
akabvunza.
" Ehe hangu."ndakadavira ziso riri paari.
Ndakanga ndatorwa moyo nezvaakange
akapfeka.
" Aaah! Ko Mai Mleya nemwana wavo hanzi
vakaoneiko,'Syli akabvunza asi akanga
atoona
kuti ndakamutarisa.
"Hameno, shaa! Ndatochairwa nhare na
vaNdlovu vachiti ndisvike kukamba izvozvi."
Apa hana yakarova asi ndakazvishingisa.
Hoo! Aaah! Zvakutotyisa. Mai veapo
vakaurawawo.
" Iii tinorarama nenyasha veduwe!",akadaro
musikana.
Akazoti , " Ndanga ndauya kuzongokuona
hangu."
"Hiii! Waita basa,shaa, nguva dzaenda. Rega
ndiende shuwa."
"Enda kubasa iwe! Unozozivisa kana
wadzoka
timbotandara zvakanaka wena. Rega
ndiende."
Takatungamidzana todzika pasi takafamba
tichikurukura hedu. Ndakapinda mu motokari
yangu," Ndakuenda ,Syli. Totaura kana
ndadzoka." Ndakatoti zvandibva nekuti
ndaisada
kunyangadzwa. Ndichipinda munzira
ndakatanga
kufunga kuti ndombosvika pa kamba ndichiti
chii
uye kunani ndakatanga kunamata ndikati
Mwari
nditungamireiwo Amen! nepfungwa dzangu.
Ndakazviudza kuti ndivo vanhu vekuguma
kuuraya ivavo nekuti ndakange ndichisina
rugare
mumoyo mangu ndongoti ndikabatwa
ndichati
chii uye ndichavei zvese izvi zvaiuya
mupfungwa
dzangu. Ndakati ndavakusvika hana yangu
yakatanga kubika manhanga ndikangoti
hameno.
Ndakasvika ndokunoisa motokari yangu pa
parking ndokumbomira ndichifunga nekuti
chero
ndaiva ini muurayi asi ndairwadziwa nekufa
kwa
Mai Mleya. Ko kwaiva kudakwangu here?
Ndaitotyawo kuurawa. Mhondi idzi!
Ndakazoburuka ndoenda hangu mukati.
Ndisati
ndadii, ndakasangana neumwe mukadzi
wataishanda naye.
"Aaah! Jack! Zvakaoma wena! Mai Muleya
here
shuwa?"vakataura izvi neshungu.
" Zvakaoma veduwe," ndakadaro
ndichidzungudza musoro.
Ndapfuurira mberi ndichibata maoko
mapurisa
ese andaishanda nawo pakamba apa.
Ndakasvika
kuna VaNdlovu ndokubata maoko. Hapana
zvakataura panguva iyi. Vakaramba havo
vakanyarara sezvo maiva nemamwe
mapurisa.
Station Commander Bridget Mleya vakanga
vaenda pachokwadi. Kufa kwavo
kwakarwadza
vamwe vangu vandaishanda navo pabasa
rechipurisa zvikuru sei avo vaisava nhengo
dzeLeopard Claws Gangsters. Mapurisa
echikadzi ndiwo airatidza kushushikana
nazvo
sezvo nyaya dzanga dzaitika dzaiva
dzakanangana nemadzimai chete.
Pakapera nguva ingangoita maminitsi
makumi
mana ndokubva tadanwa
kumusangano.Musangano wakaitirwa mune
imwe
kamuri. Mapurisa ese akanga akaita sehuku
dzanayiwa dzichibva kundotsvara mujuru.
Takasvikogara zvakanaka-naka ndokubva
mutevedzeri waStation Commander, VaElton
Dube vatanga kuvhura musangano..
"Mangwanani maOfficers mese!"vakadaro
VaDube.
" Tine urombo nekurasikirwa kwakaita ne
mukuru wepakamba pedu, Station
Commander
Bridget Mleya. Kune vose vakaenda kumba
kwavo vakaona zvakaitika. Zvinorwadza tese
sezvo taishanda naAmai Mleya zvakanaka.
Nzvimbo yedu ino yorura ingwe. Maita
nhubu,
mharapatsetsetse kana kuti ny'any'a dzadzika
midzi mudunhu rino. Isu mapurisa epano
tava
kuitwa setisingagone basa nekuda kwenyaya
dziri
kuitika munzvimbo ino. Hapana mazuva
maviri
paitika nyaya yekuurawa kweumwe mukadzi
nemwana wake mumusha unogara Constable
Jackson Sithole. Zvakare tiri kuona kuti Amai
Mleya vaigara pedyo naConstable ava."
Ini ndakatanga kurohwa nehana ndichinzwa
mashoko akanga otaurwa ne mukuru uyu.
Handina hangu kuda kuzviratidza kutya
panguva
iyi.
"Zvinhu zvinoshoresa kuona mhosva
dzichiparwa
munzvimbo inogara mapurisa. Kana
makonzo
achiita zvaanoda mumusha ine kiti zvinonzi
kiti
idzodzo hadzibatsire kana chinhu!"
VaDube vakanga vopupa furo mumukanwa
sejon'osi raiswa pajoki.
"Ndisati ndaturira nyaya iyi kwamuri kuti
tiite sei
nayo, ndaona zvakakodzera kuti kutsvagwe
ma
officers maviri achaferefeta nyaya iyi.
Pamapurisa maviri aya, umwe wacho ndi
Constable Jackson Sithole. Vamwe vangada
kuziva kuti sei ndasarudza Cst Sithole.
Mhosva
dziri kuparwa pedyo munzvimbo yavagere ,
nokudaro toda kuona unyanzvi hwavo
pakubata
nhubu idzi. Chisarudzai umwe wechipiri
anova
ndiye achava mukuru panyaya iyi. Panyaya
iyi
ndofunga panzwika,"
VaDube vakabva vapinda panyaya yekuputika
kwakaita bhazi.
"Imwe nyaya yakaiitika usiku humwe chete
nekuurawa kwaAmai Mleya, ndeyekuputika
kwakaita chimbambaira mubhazi raienda
kuMbombela. Chandisingazivi ndechekuti
mhondi
yakauraya mukuru wedu ndiyo yakaputsitsa
bhomba mubhazi here kana kuti kwete. Kana
ndimi wo, munodziona sei nyaya idzi? Tiri
mubishi parizvino kutsvaga humbowo.
Nzvimbo
yakaputikira bhomba yakakanaka nokuti
inema
camera. Nokudaro , tichaedza kutsvaga
mifananidzo yacho. Zvakare panzvimbo apa
pawanikwa pfuti nhasi mangwanani.
Ticgatsvaga
muridzi wemafingerprints."
Nyaya dzaitaurwa apa dzaindirovesa nehana
pachokwadi.
Chekutanga: Ndanga ndava umwe wevari
kuferefeta nyaya dzandakapara.
Chechipiri: Kuvapo kwema camera
panzvimbo
yakaputika bhomba.
Che chitatu: Pfuti yandakadonhedza
ikazowanikwa nemapurisa pakaputika
bhomba
mubhazi.
Chokwadi zvinhu zvakanga zvofamba neimwe
nzira. Kuferefeta mhosva yandakanga
ndasara!
Hmmm! SAKA NDICHAITA SEI?.
"Ndinofunga kuti zvandataura zvanzwika.
Tisati
tapeta musangano, pane ane mubvunzo here?
Handisi kuda ma excuse kana ma complains!
Ndoda mubvunzo." Ndiva Dube avo.
Takaramba takanyarara.
"Kana pasina mubvunzo, chisarudzai officer
achaona nezvekuferetwa kwe mhosva idzi
zvikuru
sei kuvakadzi."
Mapurisa akatanga kubvunzana ndokubva
vawirirana kuti umwe mupurisa ainziStacey
Sibanda. Mupurisa wechikadzi uyu akanga
ari
mutsvuku , ane hukobvu hukobvu hunoratidza
kusimba kwete hwekuita sefuro resipo
yekuwachisa. Pakamba pedu isu taimuziva
nekugona uye uchenjeri pakuferefeta nyaya.
Pandakatonzwa kuti ndiye andichashanda
naye
,ndakabva ndaziva kuti nhamo iya yatanga.
KUFEREFETA NYAYA DZANDAKAPARA ini
pauzima! Vakomana! SAKA NDICHAITA
SEI?
ndinopabudirira here apa? Zvakaoma!.
Takabuda mumusangano ndokubva ini
ndatotanga kuronga naStacey kuti
taizozvifambisa sei pabasa rataiva tapiwa.
Takaronga zvinhu zvedu tikaronga kuti
taizotanga nyaya yedu zvitunha zvisati
zvavigwa
nekuti taida kuti panozovigwa zvitunha, tive
tawana zvimwe zvinhu. Takaudzana kuti
hataizofamba nemota.
Ndakatanga kufunga kuti ndombotsvaga
nyaya iyi
seiko uye ndichiti ndirikutsvagei.
Hiii! Chandakadya chiya choda
kundizvimbira
zvino! Apa ndazosungwa chete.
"Irimu office ya va Dube," ndakanzwa
mamwe
mapurisa achitaura. Ndakaziva kuti ipfuti
chete
yakanongwa. Hana yangu yakarova
ndichinzwa
zvichinzi ngaitorwe.
Mai vandakanzi ndishande navo
vakati,"Aaaah!
Jack! Nyaya iyi yakanaka. Ngatichinotora ma
fingerprints kuitira kuti zvisatinetsa."
"Ehoi! Zvakanaka izvozvo," ndakadaro asi
ndaiva nekutya.
Tichifamba kuenda kuya ndakanzwa kupera
simba ndikanzi na Stacey,"Jack! Chii?
Ndakangoti hapana wena ndaresva kutsika."
"Hauna kukuvara here?"
"Handina, dear. Don't worry."
Takafamba tikaenda kuya tichisvika
pamukova
wava Dube,hana yangu yakarova veduwee!
Takagogodza mukova tikapinda.
Takavakumbira
kuti ma fingerprints atorwe kuti tisvage
mhondi
idzi nekukasira. Ini ndakange
ndongotevedzera
zvinenge zvataurwa na Stacey.
"Zvakanakai vaDube," vakadavira vachibva
vachaya nhare.
"Pane zvamaona here?,"
Hatina kunzwa kuti vakanzi chii uye vaitaura
nani.
"Heeei! Saka zvakaoma! Pakaanaka
muzonotarisa mifananidzo iya kuti ndiyani."
Vanhu vasati vafamba hakabva vadimbura
runhare ma fingerprints atariswa ndichinzwa
izvi
hana yangu yakabika manhanga.
Vakapfuurira
mberi vachiti asi hapana chaonekwa munhu
uyu
anenge akanga akapfeka ma girovhosi.
Ipapo ndakanzwa kumbopindwa nemhepo
takataura zvakawanda tikazoti,"
tavakuenda."
Takabuda muya toparadzana na Stacey
tichimirira vanobva kwakaputika
chimbambaira.
Tichngoparadzana, ndakanzwa foni yangu
yorira
, nxaaa! Ndiyaniko uyoyu?
Ndakaona ari Sylivia ndakadavira
ndikanzwa,"Aaah, kungokufunga zvangu
ndikati
regai ndimbofona.
"Kuri sei kubasa kwako?
"Kuri nane wena waita basa," ndini uyo
ndaidavira.
"Iri bhoo,shaa! bye."
Ndichipedza kutaura na Syli pakapinda
message.
Ndakavhura ndokuona vari vaNdlovu. Yanga
yakanzi," Wotoona kuti nyayaiyi haina
kubatwa.
Ikbaatwa unofira mujere."
Ndakaseka zvangu ndikati," Aaah! heya
vanhu
vanoda kundishandisa zvisakarurama ivo
vachizviisa pa safe side manje havandizive.
Ivo
ndivo vachafira mujere, kwete ini."
Ndakafamba zvangu ndoenda
kwandaishandira.
Ndakasvika tikatanga kukurukura nevamwe
vachitonditi,"Shamwari chenjera! Nyaya
yakaoma iyi. Unogona kupinda pakaoma.
Kana
pane zvaunoda kubatsirwa tiudze."
Ndakafara ndikatenda vamwe vangu nekuti
ndakaona kuti ndaiva nevamwe vanondida.
Takashanda ndikazobuda ndoenda kumba
hangu
kunodya. Ndakafunga kumbo taura na
Shirley
ndichida kunzwa kuti arisei ndakafona.
"Shirley, Waswera sei? Kuri sei kumba?
"Kuri bhoo."
"Muri kuuya nguvai,"ndi Shirley uyu.
"Kana ndachaisa," ndakamupindura hangu.
"Uswere bho.
Ndakaenda kumba ndikarara hangu. Ndisati
ndadii ndakanzwa foni yarira.
"Uripi? Svika kukamba.
Ndakasimuka ndoenda. Ndichisvika
ndakanzwa
Stacey oti,"Mahwani,Jack! Hakuna
chaonekwa
hanzi bhazi rakangoputika hapana
chavawana."
Ndakafara ndikati mwari mandirwira saka
todii.Takazoti kwadoka tozviita mangwana..
Akati ava mangwana wacho,
ndaka...........................
END OF CHAPTER 10

CHAPTER 11..

Kwakati ava mangwana wacho,ndakamuka


rungwanani ngwanani ndokupeta machira
nekugadzira mubhedha. Ndakaenda mu
shower
ndokugeza muviri. Ndakati ndapedza
ndokubika
putugadzike. Ndakadya kudya kwangu
kwemangwanani ndokugeza midziyo
yekubikisa.
Ndichiri kugeza ndiro kudaro, pagonhi
pakabva
pagogodzwa.
"Eee! Ndiani?," ndakadavira nenzwi raiva
pamusoro.
"NdiSylivia,","akadavira munhu aigogodza.
Pfungwa dzangu dzakatanga kumhanya
mhanya.
Ndashaya kuti ndokuti apinde here kana kuti
ndiende kumukova kwakanga ari.
"Pinda!"ndakadavira.
Mwana akapinda ndokunanga pandaiva
ndimire
chaipo. Ini ndakashaiwa zvekuita
panguva.Ndakangoramba ndichigeza Ndiro
dzangu.
"Nhai Jackson, wadii wandideedza
ndikubatsire
kugeza ndiro dzako?" ndiSyli uyu.
"Hadzina kumbowanda idzi," ndakadaro
zvangu
ndava kupedzisa kugeza ndiro yekupedzisira.
"Wamuka sei Jack?"
"Ndamuka. Ko uri sei hako?"
Ndakamupindura.
"Ini ndiri bhoo. Handina kuzokwanisa
kukuona
nezuro. Ndakanonoka kubva kubasa."
Hahahaaa! Ndanga ndakambovimbisa kuti
ndizosangana naye here nhai? Nenyatwa
dzandaiva madzviri aidziziva here? Hmmm!
Zvevakadzi ndaisava nepfungwa nazvo ini.
"Ndanga ndakaneta zvisingaite. Asi nhasi
ndiripo
zviripo pamba kwezuva rose. Do you mind
timbobuda out, Jackson?"
Mwana akanga owanza nyaya ini ndisati
ndatombopindura.
"Ndakabatika zvisingaite,shaa. Kana
ndakasununguka ndichakuudza. Tine nyaya
dzatiri kuferefeta."ndakamupindura.
"Saka uri kuzoenda kupi nhasi?,
akandibvunza
mwanasikana uyu.
" Ndiri kumirira munhu wandiri kushanda
naye
auye azonditora tiende kubasa.
"Iri bhoo. Rega ndimboenda kuflat kwangu,
Jackson."
"Zvakanaka, shaa. Rega ndigadzirire kuenda
kubasa",ndakadaro.
Akabuda ndokubva avhara musuwo.
Achangoti
bude. Ndakabva ndafonerwa na Shirley.
Ndakabva ndadavira foni
"Mukoma, muri kuuya here nhasi?"ndiShirley
aibvunza achiratidza kushushikana.
"Ndiri kuuya, vahanzvadzi!. Basa racho
rakanyanya kuno."ndakapindura.
Ndakagadzirira ndokutora motokari yangu
ndiye
hutu kuenda kunaShirley.
Musi uyu VaDube vakadeedza Stacey kuti
vakurukure nezvekuferefeta kwataiita nyaya
iyi.
"Officer Stacey Sibanda, "vakadaro VaDube."
Nyaya iri kuda kunetsa ka iyi. Hapana
zvimwe
zvamungafungidzira panyaya iyi? Ini pane
zvimwe zvandiri kuona pavanhu vatiri
kushanda
navo pano."
Stacey akashaya kuti mukuru uyu ari kuedza
kumboti kudii. Haana kuda kutambisa nguva,
akabva abvunza zvaionwa nemukuru uyu.
"Ndinokumbirawo kuti mundiudze zvamuri
kuona,
shefu, pamwe zvingatibatsira kutsvaga
mhondi
idzi.".
"Pane zvaunoona here panaVaNdlovu?"
NdivaDuve vaida kutura zvavaifungidzira
pamusoro paVaNdlovu.
"Hmmmmm! Hapana zvandati ndaona
ini,"akadaro Stacey achirova rova musoro
wake
nechinyoreso.
"Sei tichiti kana tichitaura nyaya dziri kuitika
idzi
,VaNdlovu vanonyarara? Zvakare hapana
kana
maonero avanombotipakurirawo se nhengo
yepano pakamba."
"Handisati ndambozviona uye ndaingoti
zvavari
mukuru kwandiri handingaise ziso pavari,"
"Zvakanaka. Kubva nhasi ngationgorore
mukuru
uyu. Tingapera nechakapedza
mbudzi,"vakapedzisa kutaura VaDube..
Zvechokwadi ,paingotaurwa nyaya dzaiitika
pakamba VaNdlovu vainyarara kunyangwe
zvazvo vaizivikanwa nekutaura nyaya
dzinoomesa
mbabvu nekuseka. Kuita kwavo uku
kwakanga
kwoita senyanga dziri kutunga bepa idzo
dzakapfimbikwa kuti dzisaonekwe.Stacey
naVaDube vakazoparadzana ndokuenda
munzvimbo dzavaishandira.
Hongu , vaviri ava vakafunga zvekuongorora
VaNdlovu asi havaizowanzobudirira nokuti
gomo
ravainge vovavarira kuda kutimba iri, kana
vaizoita munyama vaitotsimbirirwa chete.
Vaitofanira kuritimba nemishina mihombe
kwete
kushandisa mbezo nemigwaku. Vaitofanira
kusunga dzisimbe kwete kuita zvekutungana
kwembudzi. Rwizi rwavainge vafunga kuda
kuedza nemakumbo vaitoyeredzwa chete
pakashaya anonunura. Nhengo dzechikwata
Leopard Claws Gangsters chaisava semuti
unokwirwa wakapfeka shangu.
VaDube naStacey havana kuziva kuti zvese
zvavaironga zvaitapwa nekamushina
kekutapa
manzwi (voice recorder) ako kakanga kaiswa
naVaNdlovu pa ceiling yemunhu office
mavaiva
vari. Dzimba dzese dzaiva dzakaiswa
zvimushina
izvi zvekuti hapana chavaironga
chikasazivikanwa naVaNdlovu.
Hameno! Regai tione kuti vakaita sei..
Zvandakasimudza motokari yangu
ndakananga
kupurazi kwaiva naShirley, ndakapfuura
nemaCheckers Hypermarket ndokutenga
grocery.Ndakaenda pagaraji ndokutenga
kufuel.
Ndapedza ndakabva ndarova pasi.
Ndakasvika
ndokuisa motokari mainogara. Shirley
achindiona akamhanya ndokusviko
ndimbundira.
Haa! Mwana uyu chokwadi aindipedza
simba.
Akanga oita sekuti ndaiva baba vake kana
kuti
bhudhi vake. Ndakangomutsvoda pahuma
ndokumumbundirawo. Ko ndaizoita sei?
Handisaida kuti afungire kuti ndaimusema
nekuda kwenhamo dzaaiva nadzo.
"Makadii, mukoma Jackson?"akadaro
achiratidza mufaro.
"Ndinofara ini. Ko iwe uri sei?".
" Ndiri bhoo zvangu,mukoma. Kungonzwa
kukufarira."
"Zvakanaka,Shirley. Ko wakasara zvakanaka
here?"
"Ehe asi ndaitya ini," akapindura
akanditarisa
mu maziso chaimo.
Pakutarisana mu maziso, mwana uyu
aindikunda.
Ndaipedzisira ndanzvengesa meso ndotarisa
divi.
Ndakapinda mu shower ndokugeza. Shirley
akabika zvekudya ndokudya zvedu
tichikurukura
nyaya.
"Mukoma! Makazoti kudii nekuviga mai
nehanzvadzi yangu?ndakapotserwa
mubvunzo
uyu. Mwana airatidza kuti
aigaroshungurudzika
nenyaya iyi.
" Hauna hama dzamhamha here tiwane
kufambisa nyaya iyi?"ndakamubvunza.
"Ndinoziva sisi vavo vari kuMpumalanga
kuSiyabuswa."
"Uoziva nhamba dzavo here tivafonere."
Akandipa nhamba ndokubva ndavafonera.
Ndakavatsangurira zvese zvakanga zvaitika
ndokubva ndakati vauye tivige hama dzavo
idzi.
Ndakavabatsira nemari ndokubva taita basa
rese
raidiwa kuti vafi vazorore zvavo.
Takati tapedza , ndakabva ndaudza Shirley
kuti
achienda hake maiguru vake. Zvanga
zvisingaite
kuti agare neni sezvo ndaitova mutorwa wo
zvake..
Pakuti Shirley aende namaiguru vake ndipo
pandakatanga imwe nyaya. Shirley akatsika
madziro achiti hazvife zvakaitika izvozvo.
Akanga
odya magaka mambishi achiti aida kutanga
abatsirwa kutsvaga vakauraya mai
nehanzvadzi
yake. Munhu waavimba kuti aizozvikwanisa
ndini
wacho. Ndakamboda kuedza
kumunyengetedza
kwaiva kuteya nzou neriva.
Ndakazokurukura namaiguru vake ndokubva
tawirirana kuti ndaizosara naye asi
ndaizofanira
kupota ndichienda naye kumba kwavo.
Vakazooneka zvavo ndokudzokera kumba
kwavo.
Ndakadaro naShirley zvakanaka. Akanga
otaridza kuti akanga ava ne mufaro
pamazuva
iwayo. Zvekuwacha nekubika ndakanga
ndazorora..
Kwakati kwapera mazuva maviri, ndakafunga
zvekumbopinda mudhorobha.Ndakaudza
Shirley
ndakanga ndafunga zvekumbotendetera.
"Ndoda kuendawo,mukoma."
"Aiwa! Iwe unosara,"ndakadaro.
Pandakadaro chete ndakabva ndatoona kuti
ndava kushaisa musikana uyu mufaro.
Ndakazoona kuti zvaiva zvakanaka kuti
ndiende
naye. Takapinda mumotokari yangu
ndokurova
pasi. Takananga mudhorobha. Takafamba
ndokupfuura nepa Wimpy ndokubva ndatenga
zvekudya ndokugara pazvigaro ndokutanga
kudya. Tichidya kudaro, Shirley akabva aona
umwe wevarume vakauraya mai nehanzvadzi
yake. Akarohwa nehana zvekuti neni
ndakatoona
kuti zvinhu hazvina kumira zvakanaka.
Shirley
naNyoni vakaonana vakazivana zvinova izvo
zvakatozoisa Shirley pakaoma. Varume
vakasimuka ndokunanga kumotokari yavo.
Vakambomira vachitaurirana ipapo.
Vakazomutsa motokari Ndiye hutu kuenda.
"Mukoma,Jackson. Varume vaiva vagere apo
ndivo vakauraya mai nehanzvadzi
yangu."akadaro Shirley achiyeredza musodzi.
Ndakangomunyaradza ndokubva panzvimbo
iyi
nokuti ndaisada kuti vanhu vazvive
zvakawanda
pamusoro pedu.
Ndakangomubata ruoko ndokuenda naye
mumotokari ndokubva ndamunyaradza.
Ndakamutsa motokari ndokubva tadzokera
kupurazi. Gwendo gwedu gwaiva
gwatogugwa
negugwe pachokwadi.
Takasvika ndokumisa motokari mugaraji
ndokuenda kukamuri
rekutandarira,ndokutanga
kumunyaradza. Kugarochema kwakaita
Shirley
kwakandirwadza zvekuti ndakazvipikira kuti
ndiwane mhondi idzi ndidzirange
zvakakodzera.
Takazoswera zvedu tiri pamba apa zuva rese.
Ava
manheru ndakageza muviri ndo kupedza.
Shirley
akabika kudya kwemanheru ndokudya.
Tapedza
akazoti uyu kwake ini kwangu kundorara.
Ava mangwana wacho, ndakafonerwa
naStacey
achiti tisangane paWimpy paya pakaonekwa
mhondi naShirley. Ndakaudza Shirley kuti
aizosara ari ega sezvo ndanga ndichienda
kubasa.Ndakagadzirira ndokuenda
kundosangana naStacey panzvimbo
paakandirayira kuti tisangane. Ndakasvika
iye
asati asvika. Ndakabva ndafunga
zvekumufonera.
Pandakada kuti ndiise foni panzeve, iye
akabva
asvikawo nemotokari yake. Apa tanga
tichishanda tiri mu CIVIC. Taipfeka uniform
kana
toenda kukamba.
Akamisa mota ndokuburuka. Hahaha!
Mukadzi
uyu pamucheno hawaisvika zvako. Chero
waiva
fata vekuRoma waitombopinda pamuedzo
weruchiva. Aigonwa tisu vanaJackson
taipedzera
pfungwa pane zvemari kwete zvevakadzi.
Ini ndini ndaiva pamuedzo mukuru asi
ndaikunda
nenyasha. Panyaya yaShirley ndiyo yaiva
nemahwani ese. Zvaiva zvakaoma
sekuchengetesa
imbwa nyama yakasasikwa pamoto.
Sekurindisa
bere zvimbudzana chaiko.
"Jackson, ko wamuka sei?"akadaro Stacey
Sibanda achigara patafura pandaiva.
" Ndamuka, shaa. Ko uri bhoo
here?"ndakapindura zvangu. Ndichiratidza
kuva
nehanya nezvaanoda kutaura.
"Ini ndiri nani hangu. Rega titopinda
munyaya
yedu, mumwe wangu. Pane zvawati wawana
here
panyaya iya?akadaro Stacey.
"Hapana, hama yangu. Nyaya iyi iri
kutonditemesa musoro. Chandangowana
ndechekuti musikana uya akaurayirwa mai
nehanzvadzi akaona umwe wemhondi ipo
pano
nezuro."
"Ari kupi musikana wacho? Akakuratidza
here
munhu wacho?"akandibvunza achiratidza
kuda
kunzwa pamusoro penyaya iyi.
" Akatozondiudza vanhu vacho vaenda."
"Zvinoreva kuti vanhu ava vari muno,
handiti?"
Takakurukura nyaya dzakawanda ipapo
ndokubva taparadzana.
Mhondi zvadzakaona ini pandaiva naShirley
zuva
riye dzakatanga kutyira kuti Shirley
aizodzibatisa.
Nokudaro dzakabva dzatoronga zano
rekuuraya
Shirley. Mamiriro enyaya iyi akanga achioma
zvino. Wakanga wava mutambo wekitsi
nemakonzo pachokwadi. Ndaitsvaga
nekutsvagwa
uye ndaizvitsvagawo ini pachangu..
VaNdlovu zvavakanzwa zvose zvavakanga
varongerwa naVaDube, vakabva
va..............................................
END OF CHAPTER 11.
Kwatakabva mitunhu uye kwatiri kuenda
kune
mawere nemakata.. SAKA NDICHAITA
SEI?.....
DON'T MISS IT!!!!!!!!
Comments and advices +27627200114
[3/25, 16:05] Murume Wangu: *SAKA
NDICHAITA SEI?*
CHIFURIRO SHORT STORIES
(+27627200114).
CHAPTER 12.
VaNdlovu zvavakanzwa zvose zvavakanga
varongerwa naVaDube, vakabva vagaya zano
rekuita kuti nyaya iyi isabuda pachena.
Vakanyatsongorora kuti aisimudza musoro
ndiani. Zvakare vakabva vangoti
vangozvisimbaradza vachiti havaizopererwa
nezvekuita.
Vakati kana ini ndaizofunga kudududza
ndaitofa
chete. Akanga ari munhu akachenjera
pakuita
kwake kwose.
Vakabva vazviudza kuti havaifanira
kumhanya.
Vaifanira kuona pfungwa dzevamwe kuti
dzaiva
dzimire papi chaipo..
Rimwe zuva takadanwa naVaDube kukamba.
Ini
ndakanga ndiri paflat pandairenda uyuwo
Shirley
akanga ari kuimba yangu yekupurazi.
Ndakatora
motokari yangu ndokunanga kukamba.
Ndakasvika ndokuwana Stacey atovako
nechekare. Ndakakwazisana naStacey
ndokubva
tangonanga kuoffice kwaVaDube. Takasvika
tikagogodza pagonhi. Takanzi tipinde
ndokubva
tavakwazisa tichityora muzura
pachipurisa(salute). Takanzi tigare pazvigaro
zvaiva mu hofisi umu ndokutanga
kukurukura.
"Eeh! Comrades! Hapana zvamati maona
here
nyaya yedu? Hatidi kuita zvemahumbwe
ka!"mukuru uyu akataura achiratidza kuti
akanga
asina nguva yekuseka.
" Tiri kutsvaga chaizvo, shefu. Pakuongorora
kwakaita nyaya tabuda ne rekuti musikana
akaurairwa mai nehanzvadzi akaona umwe
wevakauraya hama dzake idzi."ndiStacey
akataurira VaDube.
"Ari kupi musikana wacho?
Mubvunzo uyu wakandishaisa mate
mumukanwa
sezvo ndaisada kuti nditaure kuti Shirley aiva
kuimba yangu yekupurazi.
Ndakafunga nekukasira ndikati," Ndini
ndinaye.
Akati haana hama saka ndakamuendesa
kumba
kwe shamwari yangu."
"Vakabva vati," Ko kuvigwa kwevabereki
vake,
saka zvichaitwa sei?"
Ipapo ndakaona kuti kunyepa hakuna
chakunobatsira.Ndakabva ndati," Takafonera
maiguru vake tikachengeta zvitunha asi iye
akaramba kuenda namaiguru vake ava achiti
anoda kutanga abata vanhu vakauraya hama
dzake. Izvi ndakazviitira kuti kana pane
chaizoitika ndaisazonetseka."
"Dzako inyasha dzei kuzochengeta munhu
wausina ukama naye? Ko wakambotiudzawo
here
maererano nedanho rawakatora iri?"
VaDube
vakanga vakandipotsera mibvunzo
yakandidzipa
pahuro.
"Unoona, Jackson! Tava kukutora seyatinoti
FIRST SUSPECT pachirungu! Ndine zvinhu
zvinoita kuti ndikuise pa 'suspect list'.
(1) Mai vemusikana wawakandochengetesa
kushamwari yako iyeye vairoja paflat
paunoroja
iwewe. Zvakare musi wavakauraiwa waiva
usiri
pabasa.
(2)Wakatora musikana iyeye ukandogara
naye.
Inyasha dzei kubvisa mwana wemvana
madzihwa? Zvakare hauna kuudza mapurisa
pakuita izvi.
(3)Musi wakauraiwa Mai Mleya wanga usiri
pabasa iwe.
(4)Usiku hwakaputika chimbambaira pabhazi
pabhazi ndihwo usiku hwakapondwa Mai
Mleya.
Waiva usiri pabasa.
Zvese izvi ndiri kuzviisa pamusoro pako
nekuda
kwezvikonzero zvandataura. Kubatwa
kwemhondi
ndiko kuchakusunungura,Jackson! Pasina
izvozvo, haaa! Tinombotamba newe."
VaDube vakati vaizoda kuona Shirley.
Ndakabva
ndavaudza kuti ndaizouya naye zuva
raitevera.
"Jackson! Ko panyaya ya mai
Mleya?"vakabvunza zvakare.
Handina chandati ndawana Shefu. Ndiri
kutsvaga,"ndakadavira.
"Asi nhai, Jack! Ndiudzewo zvauri kuona
pano,"ndi VaDube avo.
" Hapana zvandati ndaona,"ndakadaro.
"Hapana zvawakamboona here pane umwe
wedu
uyu?"
"Pana ani?"ndini uyu.
"Pana VaNdlovu,"vakadaro VaDube.
"Handina chandakamboona pavari ini. Kana
pane zvamunoona pavari, tibatsireiwo
nemuono
wenyu tiwane pekutangira,"ndakanyepera
kusaziva zvaireva.
" Tarisa,Jack! VaNdlovu chero tichitaura
zviri
kuitika munharaunda yedu hapana
zvavanotaura.
Izvozvi zvaitika pano pakamba
vakangonyarara
ngatimuke varume! Tisarera nyoka pamba
pedu.
Ikaramba ichikura tinopera tese pano."
"Ndiri kuzvinzwa,shefu," ndakapindura.
"Saka kubva nhasi ngationgorore munhu
uyu,"
vakataura va Dube vachiratidza
kushushikana.
"Zvakanakai," ndini uyo.
Takazotaura dzakawanda vakazoti kwandiri
ndisasiye Shirley kana ndava kuuya kukamba.
Takabuda muya tichiparadzana na Stacey
ndakafunga kunotsvaga chekudya ndikaenda.
Ndiri munzira ndaizvidya moyo nenyaya
yezvandaiitiswa nava Ndlovu. Zvakare nyaya
yaShirley yakanga yondipinza muzhenje
remoto.
Ndakanga ndopinda murufuse chaimo
musina
angakwanisa kundibura.
"Heyi! Ndiro rinonzi jambwa iri! Saka
ndichaita
sei kuti ndipunyuke panyaya idzi? Nayewo,
Shirley akachemera kuti ndigare naye
nemhosva
yei? Chokwadi moyochena unoparira.
Moyochena woda kundiurayisa. Ndava
kuparikwa panyanga dzaMushore nekuda
kwaShirley. Nyaya dzataiita
hadzaizokurumidza
kuonekwa asi nekuda kwaShirley
zvavakuzobuda
pachena. Regai vakuru vakati manga chena
inoparira parere nhema.
Ndakatenga zvandaida ndikadzoka kubasa.
Ndichisvika ndakasangana na Stacey
zvakare,
zvikanzi, "Jack! Nhasi ngatimbotenderera
nekumaraini kwana Mai Mleya."
Handina kuramba takabuda toenda kuya
netsoka
hedu. Tiri munzira ndakaona message mbiri
dzichiteverana.
"Aah! Ndiyaniko uyu?, ndaizvibvunza zvangu
nechemumoyo. Ndakabudisa mbozhanhare
muhomwe ndokubva ndatsvaga tsamba
dzanga
dzatumirwa, ndikaona ari Syli na Shirley.
Ndakatanga kuverenga ya Shirley semunhu
wandaigara naye ndikaona yakanzi,"Bhudhi.
Maswera sei nebasa? Mukurumidze kuuya
kumba
nhasi. Musafambe husiku.'
Ndakangonyemwerera hangu. Ndakabva
ndaipindura ndichiti,"Ndaswera bhoo hangu.
Uri sei iwe? Ndiri kukurumidza kuuya. Waita
hako."
Ndakatarisa ya Syli ndikaona yakanzi,"
Waswera
sei? Kungokufunga zvangu."
Ipapo ndakapererwa,'ndikati mwana uyu
andifungireiko?'
Ndakamuti, 'Waita hako. Ndiri bhoo. Uri sei
iwe'
ndikadzorera nhare yangu muhomwe.
Tichifamba
naStacey, taikurukura dzakasiyana siyana
hedu
uku tichida kuona panharaunda iyi. Ini
ndaingonyeperawo. Ko ndaigodii nhai
veduwee.
Takabva kukamba toenda hedu kudzimba.
VaNdlovu vakanga vatondimaka pese apa
nezvatakanga tambotaura nava Dube.
Ndakaenda
kupurazi kwangu ndika wana mwanasikana
atobika.
Ndichingopinda akangonditi,"Maswera sei,
bhudhi? Ndikuisirei mvura yekugeza here?
Aaah!
Zvakandinetsa ndega ndikati ndivo vakadzi
vekuroora ava.
"Ehe, vahanzvadzi. Maita henyu ndaka
ndatsva.
Akabva aisa mvura yekuti ndigeze.
Kutodziisa
mvura wena ipo pane (shower). Zvisinei,
ndakasimuka ndikanogeza. Ndichigeza
ndaitogaya kuti musikana uyu anoda
kumboita sei
chaizvo? Zvaava kutoita samai vemba? Ah!
Hameno. Regai ndimboona. Tichaona
kuchawira
tsvimbo nedohwe.
Ndakati ndichipedza kugeza ndichingopinda
mumba, zvikanzi,"Bhudhi ndapedza
kugadzira
chikafu huyai tidye."
Takagara pasi tikatanga kudya tichikurukura
hedu. Ndakazomuudza kuti arare
akagadzirira
nekuti taizobuda tese mangwana. Handina
kumuudza kuti nyaya yekugara naye
kwandaiita
yakanga yoda kundipinza mugomba
reshumba.
Ndakanyatsoziva kuti kana ndaizoiti bufu,
Shirley
aizotadza kurara. Aizopisa tsitsi kusvikira
ndatozodemba kuti nechandaitaurira nyaya
yacho.
Sezvineiwo, kedu Shirley kaiva kasikana
kakangwara uye kaikwanisa kubata
zvaunofunga
mupfungwa memunhu kubudikidza nezvimiro
zvauri kuratidzika panguva iyoyo.
Kakazviona
kuti ndairatidza kufara zvenhema uye
ndichiita
sekuti zvimire zvakanaka se mazuva ese izvo
kwete.
Akabva andibvunza chiripo ripotyo
akanyatsondi
ndee mumaziso mangu chaimo
achiti,"Kwakanaka here mukoma?"
Ndakavhunduka pandakapotserwa mibvunzo
uyu.
Ndakanga ndabatwa kuti ndine
zvaindishungurudza mumoyo mangu. Munhu
wega wega anonyatsoziva zvimiro zve munhu
waanogara naye. Zvakare pamba pane vanhu
vakawanda pakabiwa chinhu , ngatitii
mukaka
semuenzaniso. Pamusha panenge pane vana
vakawanda. Poita mwana umwe anopinda
mumba otora mukaka uri muhodzeko pasina
mvumo. Kana pakaita anobvunza vana kuti
aba
mukaka ndiani ndipo paunozoona chimiro
cheaba
uya. Hahahaha! Ini ndakanga ndaonekwa
naShirley kuti zvinhu zvaiva zvisina
kundimirira
mushe.
Zvisinei, ndakamupindura ndichiedza
kudzikamisa hana yangu ndikati kwaari,
"Mukuru
wedu ari ku kuzokuona."
"Hanzi kudii zve, mukoma? Pane
zvandakatadza
here? Chii?mibvunzo dzakanga dzonaya
semvura
yemubvumbi uku maoko akabata musoro.
" Usatya hako. Hapana chakaipa. Vanongoda
kubvunza nezvemhondi dzakauraya mai
vako,"
ndakamupindura ndakabata pafudzi rake.
Takazokurukura dzakawanda hedu kusvika
taparadzana toenda kunorara..
Mhondi dzakauraya mai nehanzvadzi
yaShirley
dzakanga dzisisina kugadzikana nenyaya
yekuzvikana kwadzakaitwa naShirley.
Nokudaro,
dzakabva dzatanga kuvhima ini naShirley.
Dzaiva
nechokwadi chekuti Shirley wozondiudza
chete
maererano nezvadzo. Ini nda ndava pakati
pashumba nhatu dzakanga
dzakandikomberedza
chokwadi------mapurisa; Leopard Claws
Gangsters nemhondi dzakauraya mai
vaShirley .
Ndakanga ndisingachazive zvekuita
nechimiro
ichi. Pfungwa dzakanga dzoita chahwiriri
mumusoro kufunga zano rekuita.
"Shamwari tinofanira kuti tiuraye vanhu ava
nekuti vachatibatisa nerimwe zuva. Ini
handisi
kugadzikana pamusoro pevanhu ava,"
ndeimwe
ye mhondi dzaikurukura dzakabata
mabhotoro
ehwahwa dziri pamba padzaigara.
"Icho ichokwadi. Tarira, nanhasi Chidhaka
watakatuma kuti andopedzisa musikana uyu
hatisi kuziva nekwaari. Zvakare musikana
wataida kuti afe ndiye aiva nemuchinda uya.
Hatisi kuziva kuti akauraiwa nevanhu ava
here
kana kuti akatitiza. Iwe Nyoni ndiwe
wakaenda
naChidhaka kumba kwamai vaShirley musi
uya.
Muchinda uyu wakamuona here?"iyi yaiva
mhondi yainzi Botaremwana yaibvunza
Nyoni.
Nyoni ndiye akanga aenda naChidhaka
kundouraya mai vaShirley. Botaremwana
haana
kukwanisa kuendawo nevamwe nekuda
kwekuti
airwara musi wacho.
"Hmmm! Mubvunzo wawandipa uyu wava
kundivhura pfungwa iwe! Ndinovimba kuti
ndiye
murume akaitiona musi watakaura mukadzi
uya
nemwana wake. Chidhaka
akatombondidaidzira
achiti aiva aona musikana uyu. Ini ndakanga
ndamuona nechekare asi nekuda kwenguva ,
hatina kukwanisa kuzomuuraya. Muchinda
uyu
ndiye chete akaita kuti tibve tichimhanya.
Hakuna
umwe."uyu aiva Nyoni aitsanangura.
"Vanhu ivava vanofanira kufa. Tisamboita
zvekutamba. Tikatora nyaya iyi zvemakanya
tinomunywa nemujuru tava mujere,"
ndiBotaremwana uyu.
"Ichokwadi, ini handidi kufa mafiro akaita
umwe
wedu Kubvoruno , akafa nekupiswa
nemagetsi."akadaro Nyoni achiratidza
kusuruvara nenyaya yeumwe wavo
mushakabvu
Kubvoruno..
Zvandakazorara ndichiti ndichaenda
naShirley
kukamba pazuva raitevera, kwakazoti
kuchiedza
ndakamuka ndokumutsa Shirley. Ndakapinda
mu
shower ndokugeza muviri. Ndichipedza
kugeza,
Shirley akapindawo ndokugeza. Achiri
kugeza
kudaro, akabva aona nyoka ichipinda mu
shower
imomo nepa hwindo.
Munongoziva kuti munzvimbo dzekumapurazi
nyoka dzakawanda sezvo dzinofarira nzvimbo
dzisina ruzha/musindo. Chakaita kuti nyoka
ipinde umu ndechekuti seri imba iyi kwaiva
nemuti murefu. Muti uyu wanga
wakarerekera
kuimba zvekuti rimwe davi rawo rakagunzva
pahwindo chaipo. Nyoka yakanga yakwira
mumuti ndokubva yatevedza davi raiuya
kuhwindo. Payakasvika pahwindo haina
kutya
ruzha rwemvura rwaiva mu shower.
Yaitofunga
kuti imvura yaierera.
Shirley haana kukurumidza kuiona sezvo
akanga
akatsinzinya. Paakavhura meso ake ndipo
paakaona rino zinyoka rakananga paaiva ari.
Mwanasikana akati mhere tetsu ndokuita
hwemuseve wadauka kubva pana mai vawo
achibuda mukamuri yekugezera iyi. Tete
vangu
nhiya takanga tichazviyeuka here zvekuti
kunopfekwa?
Panguva iyi, ini ndakanga ndichibva
mukamuri
yangu yekurara ndapedza kuchinja hembe.
Pandakati baa kutarisa kwaibva mhere wanei
heano mashura. Ndakashaya mukana wekuti
ndidzokere mumba sezvo akanga ava pedyo.
Ndakatangawo kutiza iye ndichimuudza kuti
atange aenda kundopfeka.
Paakaona kuti ndava kutiza akafunga kuti
ndatizawo nyoka iyi ndiye tote kunditevera.
Haaa! Kuita kwemwana kwakazondibhohwa
mhani. Ndakamhanya ndokumunzvenga
ndichidzoka kubedroom kwangu ndokubva
ndazvivharira. Akauya ndokugogodza
ndikamuudza kuti ngaatange aenda
kundozvipfekedza ndizovhura gonhi.
Akazoenda
hake ndokuzouya apfeka.
Ndakazovhura gonhi ndokumubvunza kuti
chaiva
chii. Akandipindura achiti aiva aona nyoka.
Takaenda ku shower kuya wanei nyoka
yabuda.
Ndakatsamwa mhani. Musi uyu ndipo
paakatanga
kuona kuti ndinotsamwa. Takazobuda toenda
kuseri kwemba ndokuona nyoka iya yava
mumuti.
Takazorongedza hedu ndokupinda
mumotokari
pasina aitaura nemumwe.
"Ndokumbirawo regerero pane zvaitika,
mukoma
Jackson. Ndanga ndabatwa nekutya uye
ndaiona
ndisina fungidziro,"ndiShirley uyu.
Ndakashaya kuti ndopindura ndichiti kudii
sezvo
ndanga ndava nechokwadi chekuti akanga
aona
nyoka.
" Hongu, waona nyoka asi waifanira
kuzvidzora
kwete kushaya pfungwa nekuda kwekutya.
Dzidza
kuzvibata nguva dzose. Wava munhu
wakura,"ndakapindura zvangu ndakatarisa
munugwagwa ndichityaira..
Takazosvika pakamba zuva rati kwirei
zvishoma.
Vamwe vangu vakanga vatobva pa'PARADE'
yemangwanani. Ndasvikomisa motokari
yangu
ndokubva taburuka.
Takananga kuhofisi kwaVaDube
ndokusvikogogodza pagonhi.
"Pindai,"vakadaro VaDube.
Takapinda ndokubva ndatyora muzura
pachipurisa kana chiuto(SALUTE)
ndokugara
pazvigaro zvaiva muhofisi umu.
Muhofisi umu makamboita runyararo
zvishoma
sezvo VaDube vairatidza kubatikana nebasa
rakawanda.
VaDube ndivo vakazodimbura runyararo
rwaiva
muhofisi umu vachiti......................
END OF CHAPTER 12.

CHAPTER 13.

VaDube ndivo vakazodimbura runyararo


rwaiva
muhofisi umu vachiti,"Constable Jackson,
wauya
naye musikana uya handiti?".
"Hongu,Shefu," ndakapindura
ndakazvininipisa.
"Eh! Musikana! Unonzi ani zita rako?
ndiVaDube
vaibvunza Shirley.
"Ndinonzi Shirley Shallom Msole,"musikana
akapindura.
VaDube: "Ok. Ndiwe una mai nehanzvadzi
vakaurawa nemhondi?"
Shirley: "Hongu."
VaDube: "Unodziziva here kana ukadziona?"
VaDube:",Dzaiva ngani mhondi idzi? "
Shirley:"Dzaiva mbiri. Imwe yacho ndakaona
paWimpy Restaurant ndina mukoma Jackson.
Imwe yacho yakafira mubhazi."
Baba vangu imi! Apa ndipo ndakazonzwa
muviri
kupinda chando. Shirley akanga ava
kufukunyura
zvakarara paakanga otaura mashoko aya.
Chakakanganisa zvese izvi yaiva nyaya
yenyoka
yakaonekwa naShirley. Ndiyo yakaita kuti
tikanganwe kuudzana zvekuzotaura kuna
VaDube. Ndakatanga kufunga kuti nyaya iyi
yaizobudika here nezvakanga zvotaurwa na
Shirley.
"Imwe yakafira mubhazi?" VaDube vakanga
vachiti zvino dzvondo maziso kunaShirley
vachida kunzwa nyaya yanga yobuda
pachena.
Shirley aizivei kuti nyaya iyi yakakora muto.
Ndaibvunzwa rwakawanda kuti kuferefeta
kwataiita nyaya iyi paiva pasina here
zvatakanga
tawana ndichingoti hapana. Zvino mapurisa
ese
aizozvitora sei kana vaizonzwa kuti nyaya iyi
ndaiiziva uye ndaiivanza. Apa pakanga
paoma
zvechokwadi.
"Hongu".
Mwanasikana akapindura akatopora zvake.
Mai
vangu Nhiya, taizivei kuti nyaya dzotoda
kubudisa idzi dzaizopinza vataida kuti
vatitsvagire mhondi mujere.
"Nyatsotaura nyaya tinzwe. Nyaya iyi
yatitemesa
musoro mhani!"mukuru akadaro achiratidza
kufarira zvaizotaurwa naShirley..
"Unoziva sei kuti imwe mhondi yakafira
mubhazi?"
Pakabvunzwa mubvunzo uyu ndakabva
ndatsika
zvigunwe zvetsoka yaShirley. Ichi chaiva
chiratidzo chekuti asataure zita rangu sezvo
ndakanyatsoona kuti nyaya iyi
handaizobuda.Iye
Shirley akazokurumidzawo kuziva
zvandaireva
pandakatsika zvigunwa zvetsoka yake.
Akabva
ataura nyaya iyi nepamwe.
"Ndakati ndakarara mumba medu,ndakanzwa
kurira kwepfuti ndokubva ndapepuka. Kurira
kwepfuti uku kwandityisa zvekuti ndakatya
kurara
ndega. Ndakamhanyira kumba kwa mukoma
Jackson sezvo ndaivimba navo nemhosva
yekuti
ndivo vakanga vayamura musi wakaurayiwa
mai
nehanzvadzi yangu..
Ndakamuka ndikamhanya ndichienda kumba
kwa mukoma Jackson ndokuwana vasipo.
Pamba
pavo pakakiyiwa magonhi ose. Ndakashaya
zvekuita sezvo ndakanga ndofunga kuti
maurayirwe akaita mai vangu."Shirley
akanga
obuda musodzi panguva iyi.
"Chinyarara hako, mwanangu!
Zvinowanikwa
muupenyu,"ava ndi VaDube vainyaradza.
Pakarepo ndakatanga kueredzawo musodzi
yangu. Zvaani? Hongu, mwana uyu
ndaimunzwira tsitsi asi panguva iyi
ndaifunga
nyaya dzakanga dzonyenamira meno adzo
kwandiri. Zvinhu zvakangazvandiomera
pachokwadi. SAKA NDICHAITA SEI?
Asi nyaya yekusungwa ndiyo yandairamba
zvachose. Ndaitobvuma kufa ndichitiza kwete
kuvharirwa mujere.
Shirley zvaakaona ndoyeredza musodzi,
akabva
asimuka pachigaro chaakanga agere
ndokusvikowira pandiri achindimbundira uku
achiwedzera kuchema. Ini ndakabva
ndangotambanudza maoko
ndokumumbundira.
Mwana uyu ainzwisa tsitsi veduwee!. Izvi
zvakanetsa VaDube zvekuti vakangoti kanha
nazvo. Vakanga vati ndee sevaiona firimu
remahara. Chinyoreso chavaishandisa
panguva
iyi chakanga chapinda dambudziko
rekutsengwatsengwa
kumashure kwacho.
"Manje tikachema tese , pane chinobuda here
ipapa?" ndivaDube vakataura papera
chinguva..
Ndakazoudza Shirley kuti adzikamise hana
uye
angotambira zviripo ndokubva anyarara
hake.
"Ungakwanisa kuenderera mberi here nhai
musikana? Tiri kuda kutsvaga mhondi
dzakauraya hama dzako. Zvino ukasashinga
moyo hatingakwanisi kuwana humbowo
hwakakwana panyaya iyi,"vakadaro VaDube.
"Enderera mberi tinzwe.".
Shirley akabva aenderera mberi
nyaya,"Zvandakaona kuti mukoma Jackson
vaiva
vasipo ndakabva ndadzika ne elevator
ndichienda
kucar park kwaigara motokari yavo wanei
hakuna munhu. Ndakanga ndotyira upenyu
hwangu. Zvichakadaro, ndakabva ndanzwa
motokari dzichiridza ma siren dzichienda
pamaflats atakavakidzana nawo. Ndakabva
ndafunga zvekuendako kundotsvaga
rubatsiro.
Ndiri munzira kudaro, ndakabva ndasangana
neimwe dzemhondi dzakauraya mai
nehanzvadzi
yangu sezvo ndaiiziva ndikaiona. Yakabva
yanditevera.
Ndakatiza ndichidzoka kumashure asi
yaingonditevera zvakadaro. Pakabva pauya
bhazi
raienda ku Pretoria ndokubva ndarimisa
kunyangwe zvazvo ndakanga ndisina mari
yemuripo. Ndakapinda ndokugara pachimwe
chezvigaro zvekumashure. Mhondi iya
yakauyawo ndokugara pachigaro pedo
nepandakanga ndigere.
Bhazi rakasimuka rikaenda. Tati fambe fambe
ndakabva ndaudza mutyairi ndaiva ndasvika
kwandaienda. Chinangwa changu chaiva
chekuti
kana mhondi iyi yaizonditevera ndaizoudza
vaiva
mubhazi kuti munhu uyu aida kundiuraya.
Ndakadzika mubhazi. Pandakangodzika
ndakabva ndamhanya ndichindovanda pasi
pebridge raiva pedo ipapo.
Ndichingodzika ndakabva ndanzwa ruzha
rwekuputika kwebhazi,"Shirley akanga
onyepera
VaDube sezvo akanga atoona kuti
zvaizondiomera.
"Saka zvinoreva kuti Mai Mleya vakaurayiwa
nemhondi idzi ka?"mubvunzo uyu
wakapotserwa
kwandiri naShirley.
"Tinoona kudaro," ndakapindura.
"Nhai iwe musikana! Wakamboudzawo here
waunoti mukoma wako uyu?"VaDube
vakabvunza
Shirley.
" Handina."
"Waifanira kudai wakavaudza ka. Handiti
wati
uri kuda kubatsirwa kutsvaga mhondi?
Unofanira
kutaura zviri kuitika nezvaunoona. Kwete
kunyarara."
"Saka iwe Jackson! Pakaitika zvese izvi
waivepi?"
Imi wee! Kunyangwe zvazvo taitaura nhema
kuna
VaDube, vairatidza kuti vaizviona zvavo.
"Ndaiva kushamwari yangu,"ndakanyepera
VaDube..
VaDube vakazobvunza zvakawanda asi moyo
wavo wairamba kutambira zvataivaudza.
Vakazodaidza Stacy uyo andaishanda naye
panyaya idzi ndokumutsanangurira
zvakataurwa
naShirley uye mhinduro dzataivapindura.
Vazoti taifanira kushanda zvakasimba kuti
tibate
mhondi idzi.
Ndazotorana naShirley ndokuenda
mumotokari
yangu ndiye hutu kuenda kupurazi. Takanga
taronga naStacey kuti taizosangana
paiwanzotambira mhondi dziya..
Kwakati kuchiedza ndakamuka ndokuenda
kundogeza muviri se mazuva ose.
Ndakazviudza
muupenyu hwangu kuti kana uchida kuti uve
nezuva rakanaka unofanira kugeza muviri
mangwanani ega ega paunomuka.
Ndichipedza kugeza ndakanzwa foni yorira.
Ndakamhanyira kubedroom kwangu kunova
ndiko kwandainge ndasiya foni. Ndakaona
ari
Stacey aifona. Ndakaitora ndokubva
ndaipindura.
Stacey: "Wamuka sei,Jackson?"
Jackson: "Eh! Ko muri sei, officer?"
Stacey:" Ndiri nani hangu. Warara bhoo
hako?"
Jackson: "Ndarara zviri nani ini"
Stacey: "Officer Jackson! Ngatisangane
paRestaurant paya 9 :00 am. Timbotsvaga
mhondi dziya. Handiti munodziziva ka?"
Jackson: "Ehe. Imwe yacho ndinoiziva"
Stacey: "Shirley ngaasare. Angazouraiwa."
Jackson:" Iri bhoo. Ndokuona gare gare."
Ndakagadzirira zvese zvaidiwa kuti
ndishandise
parwendo. Ndainyatsoziva kuti zvaitafambira
izvi
hazvaida kuti munhu uite zvemahumbwe.
Kutora
zvombo ndiwo waitova mutemo. Pese
pandaifamba ndaitakura zvombo. Ko
ndaitadza
nei ini ndaivhima nekuvhimwa?.
Shirley akamuka ndokubika kudya
kwemangwanani ndokubva tadya zvedu.
"Hanzvadzi yangu, Shirley! Ini
ndichamboenda
kubasa. Ndinofunga kuti ndichauya manheru
sezvo ndiri kufambira nyaya yemhondi
dziya.",
ndakataura izvi ndichipedza kunwa
putugadzike
yaiva mukomichi yangu.
" Tadii taenda tose, mukoma? Ini zvekusara
ndega handidi ini,"akadaro mwanasikana
achiyema zvake.
"Aiwa! Hatingaende tose, Shirley. Kwandiri
kuenda uku kuhondo uku. Handidi
kuzorasikirwa
newe,"ndakapindura.
" Chero neni handidi kurasikirwa nemi,
mukoma.
Kubva zvamandiyamura kumhondi idzi musi
uya,
moyo wangu ungori pamuri. I love you so
much!"akapindura achiswedera pandakanga
ndakagara chaipo.
"Its ok , my sister. Ndiri kudzoka."
Ndakapindura.
"Take care, Bro Jackson! You are my
everything."
"Hezvo! Yava ipi zve yondoudzwa namwana
uyu?
Hanzi you are my everything. Ari kumboedza
kuti
kudii? Hmmm! Ma1," ndakadaro zvangu
nechemumoyo..
Ndakangoti kwaari,"Usatya hako,Shirley.
Ndiri
kudzoka.
Ndakangomutsvoda pahuma ndichiedza
kumudzikamisa. Ndakatora ma keys
emotokari
ndokuenda kundovhura garaji. Ndakabudisa
AUDI yangu ndo kuvhara gonhi regaraji
ndiye
hutu kuenda.
Ndakazosvika panzvimbo Stacey atovapo
nechekare. Takakwazisa ndokugara zvedu
tichikurukura nyaya.
Tichiri kuzuwa nyaya kudai, pfuti dzakatanga
kurira panze. Ini ndakabva ndakurumidza
kubata
Stacey ndokumuwisira pasi kuti titore cover.
Stacey haana kunzwisisa kuti zvii zvakanga
zvava
kuitika panze.
Akada kusimuka kuti atize ndokubva
ndamuudza
kuti kana aisimuka panguva iyi, aizodyarwa
mbumburu mumusoro chete. Hapana chimwe.
Ndakakurumidza kudonhedza matafura
maviri
nechedivi rairira pfuti. Matafura iwayo
akatibatsira zvikuru sezvo mabara haana
kumaboora. Ndakanyatsoziva mhando yepfuti
dzaishandiswa nemhondi idzi nekuda
kwekumwaya kwadzaiita mbumburu. Dzaiva
dzerudzi rweMP-5 automatic.
Kunyangwe zvazvo takararama kudaro, ini
ndakapfurwa ruoko pedyo nechepafudzi
panguva
yandaidonhedza matafura asi handina kuda
kuzviratidza kuna Stacey sezvo aizovhunduka
akafunga zvekutiza panguva iyoyo. Ruoko
urwu
rwakanga rwazoita munyama sezvo ndirwo
rwakambopfurwa naFoxtrot Romeo kumba
kwavaMsole. Zvimiro zvaivapo panguva
iyoyo
zvaiva zvekuti ukasimuka chete, wabaiwa
nepfuti.
Chii chakanga chaitika chaizvoizvo?
Zvakaitika ndezvizvi:*Kubvira musi
wandakaona
mhondi idzi panzvimbo iyi ndinaShirley,
dzakabva dzatotangawo kutivhima. Shirley
aida
kuurairwa nyaya yekuti akaziva imwe
yemhondi
idzi. Iniwo ndaida kuurayirwa kuti zvimwe
ndava
kudzizivawo mhondi idzi sezvo dzaiva
nechokwadi chekuti Shirley akandiratidza
nekundizivisa nezvemhondi idzi.
*Zvadzakasvika parestaurant apa, mhondi
idzi
dzakaziva motokari yangu izvo zvaita kuti
dzive
nechokwadi chekuti ndaiva panzvimbo apa.
*Mhondi dzakatanga kukanda mabara dziri
kunze
nekuti dzaitya kusvikirwa nemapurisa dziri
mukati umu.Dzakapfurawo motokari yangu
motokari yangu dzichipwanya mafasitera
,kubaya
mavhiri netangi remafuta(fuel tank).
Pakarepo motokari yangu yakatanga kubvira.
Ini
zvandakazonzwawo kuti vanaBotaremwana
vamira kukandira mabara mukati mataiva
,ndakabva ndamhanya ndichiendapahwindo
ndokudongorera panze. Ndakaona motokari
yangu ichitsva izvo zvakandipa hasha.
Ndakabva
ndabuda pakarepo ndokuenda kwaiva
nemotokari
yangu.
Ndichingoti budei ndakabva ndaona
motokari
yaisimudzwa zvine simba. Mota iyi yaiva
yerudzi
rweSUBARU ,tema..
Ndasvika paiva nemotokari yangu wanei
hazvitaurike. Handina kukwanisa kuswedera
pedyo nekuda kwemurazvu yemoto .
Ndichiri panzvimbo apa ndakanzwa mutsindo
wetsoka dzaimhanya. Ndakabva ndatendeka
pfuti
yandaiva nayo kwaibva mutsindo wemunhu
aimhanya.
"Ndini kani, Jackson!" Stacey akadanidzira
akasimudza maoko ake mudenga pfuti yake
iri pa
SURRENDER POSITION.
Ndakabva ndadzikisa ruoko rwangu
ndokufamba
ndichienda kwaari. Ndakangoti ndichisvika
paari,
akandimbundira..
"Chii chiri kumboitika pano, nhai Jackson?"
akabvunza Stacey achiratidza kusagadzikana.
"Cool down, Officer! Zvichanaka."
Ndakangopindurawo ndisina kugadzirira
mhinduro..
"Tinofanira kuitsvaga motokari
iyi,"ndakaenderera mberi.
"Ndaibata zvangu chimiro chayo---- Black
Subaru private car! Asi unoziva here kuti
muno
mune motokari dzakawanda dzerudzi urwu?
Watora REGISTRATION NUMBER yayo
here?akandibvunza Stacey akandibata
pafudzi.
"Vakabvisa REGISTRATION NUMBER
PLATE,"
ndakapindura nenzwi rairatidza kutsamwa.
Pakarepo takanzwa ma SIREN emotokari
dzemapurisa, dzinotakura varwere
nedzimamoto
dzaimhanyidzana dzichiuya pa restaurant
apa.
Mamwe mapurisa akanga achimhanya
netsoka
chaidza vakakoka pfuti dzavo vachibva
pakamba
yaiva pedyo. Vakanga vadya manonoko sezvo
shumba dzakanga dzapemhena masango
nechekare.
Ndakatarisa ku restaurant kuya
kwandakanga
ndabva ndokuona kuti vakanga votanga
kusimuka umwe umwe. Vamwe
vakatomboramba
vakarara sezvo vaitya kuti mhondi dzakanga
dzichiripo.
Chemusi uyu chaisirisa uye kurwadza munhu
wese aitarisa kana kunzwa nezvazvo.
Ndakatanga
kunzwa mhere uye kupfikura kwevanhu mu
restaurant nepanze. Vanhu vakanga vochema
vadikani vavo vaiva vasiya nyemba uye
kukuvara
zvakanyanya..
Takabva tabatana nemapurisa akanga auya
kuita
basa rese rakanga ravapo panguva iyi.
Mapurisa
epakamba pedyo apa vakambotibvunza kuti
taiva
mapurisa zvechokwadi here ndokubva
tabudisa
zvitupa zvechipurisa ndokubva vaongorora
maFORCE NUMBER edu nemushina
ndokubva
vaona kuti taisava mapurisa ekunyepera.
Takabva tavatsanangurira zvese zvakanga
zvaitika ndokubva ta....................................
END OF CHAPTER 13.

CHAPTER 14

Takabva tavatsanangurira zvese zvakanga


zvaitika ndokubva taronga zvekuzoita. Ini
ndakanga ndava nepfungwa yekutevera
kwakanga kwaenda nemotokari yemhondi
dziya.
"Ah! Nhai, Jackson! Zvawatokuvadzwa zve
nhai
Iwe,"uyu ndiStacey akadaro apo akanga aona
pandakapfurwa.
" Hapana kunyanyokura apa. Ndangomarwa
chete,"ndini uyo.
"Iwe,Jackson! Sei uchirerutsa zvinhu iwe?
Wadii
wapindawo mu ambulance ukandorapwa
ronda
iro?
Stacey akabva aswedera pandaiva
ndokukwinyira
ruoko rwehembe yangu kuti some chimiro
chaiva
ne ronda iri.
" Uri kubuda ropa, shaa. Pinda mu
ambulance
uende kuchipatara,"akadaro Stacey.
Ndakamupindura nenzwi rairatidza kuti
zvaaitaura panguva iyi
zvaindibhowa,"Kanganwa
nezve ambulance izvo,Stacey! Tinofanira
kutsvaga Subaru iyi!"
Stacey aingotaura nyaya yekuti ndiende
kuchipatara asi pfungwa yangu yaiva
yekutevera
mhondi. Ndakabva ndafunga zvekukumbira
motokari yaStacey nditevere
vanaBotaremwana.
Dzaingova shungu dzaindituma kuita izvi asi
chokwadi chaipo ndechekuti mhondi
dzakanga
dzambumura guruva nechekare.
"Stacey! Ndokumbirawo motokari yako,
shaa."
"Watii?" Stacey akabvunza akanditi ndee
kumeso.
"Ndibatsirewo nemotokari yako. Kune
kwandinoda kumbosvika izvezvi.
Kwakakosha.",
ndakadaro nenzwi raipisa tsitsi.
Akaswedera pandaiva ndokuti," Jackson,
kana iri
nyaya yemhondi usazvinetse. Pane mapurisa
andataura nawo pataibatsira kutakura
vakuvara.
Pane mapurisa atova mumugwagwa izvezvi
varikusvaga mhondi idzi."
"Kwete! Kune kumwe kwandiri kuda
kuenda."ndini uyo.
" Zvakanaka, dear. Heano ma keys ayo. BE
CAREFUL WITH MY CAR
PLEASE,"akadaro
Stacey achinditambidza ma kiyi emotokari
yake.
Aiva ane motokari yerudzi rweBMW
convertible.
Zvichakadaro,Stacey akabva atarisa yangu
iyo
yakanga yava marangwanda ndokubva
ati,"Saka
ndichaita sei kuti ndiende kumba ini ndakupa
motokari kudai?"
"Ndiri kudzoka izvezvi nemotokari yako.
Handigarisi ko. Ndichakufonera kana ndava
munzira." ndakapindura.
"Ndapota! Utariswe ronda rako
iro!"akataura
izvi Stacey achiratidza kundinzwira tsitsi.
Akapedza chinguva chakati kuti
akangondiyeva,
hameno kuti aifungei mwanasikana uyu
panguva
iyi.
Umwe wemapurisa aiva pataiva apa
akangoti,'
Um, Agent Stacey!" Akanga azviona kuti
mwana
ane zvaaitaura mumoyo make.
Stacey akazotarisa divi achinyara nyara
sezvo
akaonekwa zvaaifunga .
Ndakabva ndapinda muBMW yaDetective
Agent
Stacey, ndikaimutsa ndokurova pasi.
Ndichityaira
kudaro, ndakabva ndapindwa neimwe
pfungwa.
Ndaida kutevera mhondi idzi ,
vanaBotaremwana
asi ndakabva kuti vakanga vaenda nechekare.
Ndakazoti regai nditsvage asi ndaifanira
kuenda
kupurazi kwandaiva ndasiya Shirley ndisati
ndadzosera motokari kumuridzi wayo..
Ndichingoti fambe fambe ndakabva ndaona
kuti
migwagwa yese yakanga yaiswa ma
roadblocks.
Ini ndakabva ndabatidza ma 'Police Traffic
lights'
ne 'siren'.
Mapurisa akanga angozara mumigwagwa
yese
vatoisa mambure. Ini ndakasvika pamumbure
(roadblock) ndokuvhurirwa sezvo vakatoziva
kuti
ndaiva mupurisa. Mhondi dzakabudirira
pakutiza
sezvo mapurisa akanga asati awanda
mumigwagwa.
Ndiri mumugwagwa kudaro, ndakafunga
zvekufonera Shirley sezvo ndanga ndototyira
kuti
angadaro awanana neyandanga ndawanana
nayo
ku restaurant kuye. Ndakafona ndokunzwa
kuti
foni yaipinda asi yaisadavirwa.
"Shit!" ndakadaro ndichikandira foni
pachigaro
chemotokari sendiri kuipwanyira pasi kuti
iparare.
Ndakabva ndawedzera kutsika mafuta zvine
simba uku siren ne ma police lights akapfuta.
Mapurisa aiva mumambure mandaipfura
namo
aitoshamisika kuti chii chandakanga ndava
kumhanyira apa hapana kana motokari
yandaimhanyirira. Vaindibvumidza zvavo kuti
ndipfuure asi vaisara nemibvunzo yakawanda
isina aikwanisa kuvapindura. Pfungwa
dzangu
dzakanga dzava kunaShirley panguva iyoyo.
Ndakamhanyisa motokari ndokusvika pamba.
Ndichisvika ndakamisa motokari iya panze
ngokuongora gedhe guru wanei masiyire
andakanga ndariita ndiwawo. Ndakakiyinura
ndokupinda mukati. Ndakabva ndabudisa
pfuti
yangu ndokunyahwaira ndichienda kuimba
ndokusvika pagonhi. Ndakariongorora
ndichida
kuona harina kupaziwa here wanei rakanaka.
Ndakakiyinura ndokupinda mukati.
Kwakanga
kwava kusviba zvino. Ndakakwira manera
nokukurumidza ndokupinda muimba
yekutandarira wanei hamuna munhu.
Ndakabudisa foni yangu muhomwe
ndokunyorera
Shirley tsambambozha wanei haina
kupindurwa.
Ndakanyora yechipiri ndokuona ngoma nd
iyoyo.
Handina kana kunzwa kuchema kwe 'alarm'
izvo
zvakaita kuti ndifunge kuti zvinhu hazvina
kumira
zvakanaka. Ndakanga ndasiya ndaudza
Shirley
kuti amutse 'alarm' kana ndisipo kuti azive
kuti
pane asvika pamba ichinge yava kurira.
Ndakabva ndakiya gonhi ndokufamba
murima.
Ndakafamba mukamuri umu
ndichitendekatendeka
pfuti mumativi ose. Handina kuda
kudaidzira Shirley sezvo ndakanga ndofunga
kuti
zvinhu zvakanga zvisina kumira zvakanaka.
Ndakati ndosvika pa 'passage' ndakanzwa
kufamba kwetsoka dzemunhu aiuya
kwandaiva
ndiri. Ndakabva ndanyatsokoka pfuti yangu
ndakavanda pakona. Mwenje wemumba umu
Takabva wabatidza izvo zvakaita kuti
ndimbopatika.
Ndakati ndobudikira pachena ndakanzwa,
mhere
tetsu!
"Maihwee kani!"ndiShirley akabongomora
zimhere rakaita maungira muimba yose.
"Moda kutsemura hana yangu here, nhai
mukoma
Jackson?"mwanasikana akandibvunza
akabatira
chipfuva mumaoko.
Akanga akapfeka nhumbi dzekurarisa
nadzo(pyjamas) uye bvudzi rake raiva nyoro.
Chiitiko ichi chakavhiringidza Shirley zvekuti
akabva ayeredza musodzi akanditarisa.
Ndakabva ndamupa mubvunzo ndichiedza
kumudzikamisa ndichidzosera pfuti
muhombodo
mayo.
"Ko wanga uchigeza mu shower?"ndiwo
wakava
mubvunzo wangu wekutanga.
"Ehe! Ndini ndega here munhu anofarira
zvekugeza izvi munyika muno?"
Hahahaaa! Mwanasikana akanga
ongopindura
asina kudzeya zvaakanga obudisa
mumudyasadza(mumuromo) wake.
Ndakangoedzawo kuzvidzikamisa hangu
nokuti
ndaiziva hangu zvandaizviitira.
Ndakapindura
zvine moyo murefu mukati.
"Ndambokufonera nekukunyorera
tsambambozha
asi hauna kupindura."
"Mvura nembozhanhare
hazvisangane!"ndiShirley uyu.
Pakarepo akandotora foni yaiva patafura ini
ndichitevera zvangu kumashure.
"Saka moda kuti ndikupindurei
tsambambozha
dzenyu here?"akandipotsera mubvunzo uyu.
Ndakashaiwa neromuromo ndokubva
ndaenda
kundozvidonhedza pasofa. Ndakanga
ndapererwa
nemashoko e mwanasikana uyu.
Ndakabva ndati," Ndanga ndabhohwekana
nekusandipindura kwawaita uye zvanga
zvandipa
pfungwa yekuti pamwe zvinhu hazvina
kumira
zvakanaka."
"OKAY, I'M SORRY, mukoma Jackson. Asi
hazvaiita kuti nditore foni ndiende nayo
kundogeza."akandipindura adzikama apa..
"NEXT TIME, AT LEAST TAKE IT TO
BATHROOM. Sei usina kubatidza
'alarm'?ndakabvunza.
"Ndanga ndamboenda kugaraji ne
mudhudhudhu
kundotenga bepanhau ne grocery raishota.
Ndaida kuzoibatidza kana ndava kundorara."
Ndakabva ndati kwaari,"Zvakanaka, asi
ndinoda
kuti ugare wakabatidza 'alarm' nguva dzose."
"Iri bhoo,Mukoma Jackson. Asi sei mafunga
zvekundityisidzira nepfuti zvamaita izvi?
Ndisati ndapindura mubvunzo uyu, Shirley
akamira ndokutarisa paruoko rwangu zvine
kushamisika mukati.
"Muri kubuda ropa, mukoma!"
Ndakangokwizira pandakanga ndapfurwa
ipapo
ndokuti,"Ndazvicheka."
"Mukati me jacket?"kedu Shirley
hawaikakunda
pamashoko. Mibvunzo kana mhinduro dzako
dzaiita sekuti dzaigara dzakarongwa
parurimi.
Ndakabva ndafunga kuti yaisava nguva
yakanaka
yekumuudza zvakanga zvaitika sezvo ndaiziva
kuti haaizorara zvakanaka.
"Kanganwa nezvazvo," ndakadaro
ndichiratidza
sendaisava nehanya nazvo. "Pane
zvawamboona
kana kunzwa zvisina kumira mushe here
kubva
panguva yandabva pano?"
Kunyangwe zvazvo ndaiedza kuita sepasina
zvinhu zvainditambudza, Shirley akazviona
kuti
shasha iyi pane zviri kuidya moyo..
"Hapana zvandanzwa kana kuona. Ndaswera
zvakanaka pano. Ndaita basa rese repamba,
ndabika ndikadya. Ndafamba zvakanaka
pandaenda kugaraji ndikadzoka
zvitsvene,"akapindura zvake..
"Nhai mukoma! Ndiudzei chokwadi. Ndiani
akupfurai? Ndakaona vanhu vakawanda
vakapfurwa nepfuti. Hamuna
zvamungamboda
kundivanzira,"Shirley akadaro ane chokwadi
chekuti ndakanga ndapfurwa.
Ini ndaivanza nyaya ndichityira iye asi apa
ndakaona kuti zvaiva nani kumuudza
chokwadi
sezvo ndiye akandimanikidza.
Ndakatarisa pandakapfurwa ndokubva
ndamutarisawo," Handisi kuziva kuti nani asi
ndichatsvaga vaita izvi. Motokari yangu
yapiswawo zvakare."
"Ko hadzisi mhondi dziya dzaita izvi
here?"Shirley akadaro achiratidza
kushamisika.
"Pamwe ndivo," ndakadaro ndakatarisa pasi.
Mwanasikana akabva aswedera pedyo
nepandakanga ndigere ndokundibata ruoko
rwangu ndokuti,"Vanhu ava vanofanira
kutsvaga,mukoma. Tingapera nechakapedza
mbudzi."
"Usatya hako, Shirley. Tinovabata chete."
Tichitaura kudai, ndakabva ndafonerwa
naStacey. Ndakabva ndadavira foni nechimbi
chimbi.
"Agent Jackson! Mava papi? Kwasviba
uku."ndi
Agent Stacey ava.
"Ndiri kusvikapo manje manje, Agent
Stacey,"ndakapinda.
"Munodiwana paEngen Garage iri pedyo
nepaWimpy Restaurant paya,"akadaro Stacey
achibva adimbura runhare.
Ndakabva ndaudza Shirley kuti ndaifanira
kuperekedza motokari yemuridzi yandakanga
ndauya nayo.
Takabva taparadzana , ini ndokubva ndabuda
ndokubatidza alarm system, Shirley
achiendawo
kundorara..
Ndakiya gedhe ndopinda mumotokari
ndokunyudza gumbo mutangi ndakananga
kuEngen Garage kwakanga kwarehwa.
Ndakasvika panzvimbo Stacey asati avapo.
Ndakasimudza motokari ndokuenda pa
restaurant
ndokuona Stacey achipedzisa basa nemamwe
mapurisa. Dzimwe motokari dzinotakura
varwere
dzakanga dzichiripo.
Zvakatondishamisawo kuti basa rakanga
risapedzwa kubva panguva yandakanga
ndabva
apa.
"Kana motokari yangu yangoita problem
chete,
hokoyo!"akadaro Stacey achitofara zvake.
Ndakangoseka zvangu ndokubva ndanyarara.
" Saka chii chasara kuitwa
pano?"ndakabvunza
Shirley.
"Tiri kudiwa kukamba yepa Glen Marais.
Hanzi
pane humbowo hwavanoda kubva kwatiri.
Saka
chitotyaira tiendeko,"akadaro Stacey
achindogara ku'passenger seat'.
"Handichina motokari."ndakadaro
ndichinzwisa
tsitsi.
"Kumbira yebasa," akadaro Shirley.
"Yebasa handiifarire ini. Ndinofarira AUDI
A4.
Ndiyo motokari yandinofarira. Zvino
pakamba
pedu pane ISUZU KB series ne FORD
RANGERS. Dzimwe wo idzo handitombode
kunzwa nezvadzo.
," ndakadaro zvangu pfungwa dziri
mumugwagwa.
"Saka uchaita sei?"
"Ndichaenda ku Kempton Park Audi
kundotenga
imwe. Ko nhamba yevanhu vafa nevakuvara
yakamira sei?"ndakabvunza ndichichinja
nyaya.
Stacey akabva atura befu ndokuti," 9 dead;
13
injured , 5 of them critically. Saka nhamba
yevafa
ingangokwira."
"SUBARU nhema?"
"Yanyangarika zvisina tsarukano." Shirley
akabva anyatsozendamisa musana pa chigaro
achibva avhara meso ake nezvanza zvake.
"Waitevera motokari yemhondi here kana kuti
kune kwaienda Iwe, Jackson?"akadaro
Stacey.
"Ndaida ku............................................."
END OF CHAPTER 14
Comments & advices +27627200114
[3/25, 16:06] Murume Wangu: *SAKA
NDICHAITA SEI?*
CHIFURIRO SHORT STORIES
(+27627200114).
CHAPTER 15.
"Waitevera motokari yemhondi here kana kuti
kune kwawaienda iwe,Jackson?"akadaro
Stacey.
"Ndaida kundotarisa kumba kwangu kuti
kwakanaka here,"ndakapindura ndatoona
kuti
nyaya iyi ingatokwira mawere. Hahahaha!
Hameno zvenyu! Handiti madzibaba edu
akati
CHAROVEDZERA CHAROVEDZERA
GUDO
RAKAKWIRA MAWERE KWASVIBA?
Tinokwira
mawere kana tinodzika? Ko tinoita sei
pamakata?
Regai tiisiye iyo nokuti inoda vakuru.
Kumba kwandaireva panguva iyi ndekuya
kwandairoja kwete kwaiva na Shirley.
" Saka wawana kuri sei?"
"Ndawana kwakanaka asi ndava kutya
kurara ko
ini."ndakapindura tava kutopinda mukamba.
Takapinda ndokubvunzwa mibvunzo ine
chekuita
nezvanga zvaitika pa restaurant. Tapedza
kubvunzurudzwa kudaro takapinda
mumotokari
yaStacey. Akanditi ndityaire zvakare
tichibuda
kukamba umu.
"Saka zvawati wava kutya kurara kumba
kwako,
une kumwe kwauchandorara here
zvakwasviba
kudai?"Stacey akabvunza zvake meso
akatarisa
mberi kwataienda.
" Ndichaona yekutamba."ndakapindura
zvangu
asi mubvunzo waakandibvunza uyu wakaita
kuti
ndidzimbikane mumoyo. Kundidemba
kwaakanga
oita kwakaita kuti ndibude tumisodzi.
Musodzi
une mawara chokwadi.Ndokusaka zvichinzi
musademba afirwa makamutarisa kumeso.
Chero
shungu dzake dzadzikira,pamunotanga
kudemba
nhamo dzake ipapo anotanga kuchema
zvinosirisa.
Ndakanga ndadzimbikana moyo zvekuti
ndakawedzerwa chivindi neshungu dzekuda
kubata mhondi idzi.
"Kana uchiti uchaona yekutamba uri
kumboedza
kuti kudii?"Stacey akanga anditarisa kumeso
panguva iyi.
"Ndichawana kumwe kwekurara,"
ndakapindura.
"Baba vangu, Chihwa imi! Chii chiri
kumboitika
kwauri?akadaro Stacey.
Ndakamboda kubvunza kuti zvinorevei kuti
Chihwa ndokuona kuti yakanga isiri nguva
yemubvunzo dzakadai. Ndaingonzwa vaera
Shumba achideedzwa mazita akaita sa
Chihwa,
Sigauke , Sibanda, Charumbira ,
naMurambwi
asi ndaingotiwo mazita emisha.
Ndakafungidzira
kuti dzimwe nguva Chihwa zvinoreva kuti
Chimbwa kana kuti Mbwanana. Handiti
mwana
weshumba here? Tichatozodana kuti HANDA
zvakare.
"Hapana,"ndini uyo.
"Ok,Agent Jackson, hande kumba
kwangu,"Stacey achitaura pasi.
Mashoko aya akandishamisa asi handina
kuda
kuzvitaridza kwaari. Ndakangonyarara
zvangu
sezvo handafanira kupokana naye. Zvakare
handaifanira kuita zvaiita kuti gonzo
rinyumwe
kuti chikafu chaiswa mushonga.
"Waita hako, Stacey asi.............."
Ndakadimbudzirwa naStacey pane zvandaida
kutaura.
"Terera unzwe. Handiwanzoita izvi kune
vanhu,
Jackson. Saka usada kuswerovhiya mbeva.
Ungarara panze nekunotonhora
kudai."akadaro
MaSibanda uyu(Stacey).
Akanditi ndee kumeso achiratidza kuti
akamirira
mhinduro yaiva kwandiri. Ndaida kutaura
mashoko ekuramba zvaaida izvi asi nekuda
kwezvikonzero zvitatu zvinoti
(1) Ruoko rwandakanga ndapfurwa rwuye
rworwadza kukunda gehena chairo nokudaro
ndaifanira kuzorora.
(2)Ndakanga ndaneta kunge huku. Chakanga
ndoda apa kurovera matama pasi.
(3)Ndakanga ndisina kwekuenda sezvo
ndotyira
kuti kwandairoja kwakanga kwazvarira
ingwe.
" Zvakanaka. Tinoenda. Waita
hako,"ndakadaro.
"YOU ARE WELCOME."akapindura Stacey..
Takazosvika pamba paStacey. Ndokubva
avhura
gedhe. Takapinda ndokuisa motokari
mugaraji.
Veduwee mwana akanga ane imba yaiyevedza
chokwadi. Ndakambofunga kuti Stacey aiva
nemurume asi kwete. Aitozvigarira ega zvake.
Mumba macho makanga makagadzirirwa
zvaiyevedza. Takapinda mukamuri
yekutandarira
ndokubva ndagara pasofa. Akabva apinda
mune
kamuri ndokubva auya ne'FIRST AID BOX'
ndokusvikogara pandaiva.
"Kurura jacket ne hembe yako tione,"
akadaro.
Ndakangomutarisa ndokuita zvandakanzi
ndiite.
Paakaona ma'tatoo' andaiva nawo ,
musikana
akavhura maziso zvine kushamisika mukati..
"Red lighting! Chimwe chii?"akadaro Stacey
achiona ma tatoos angu aiva paruoko
nekumusana.
Ma tatoos acho aiva mifananidzo yemheni
tsvuku
iri pamurazvu wemoto nezino guru re ingwe.
" Nemhosva yeyi une ma tatoos
akadai?"akabvunza.
"Ko haabvumidzwe here?"ndakapindura
mubvunzo.
Akaswedera pedyo akavhura meso
seachabuda
muzvimapako zvawo paakaona mavanga
akapora
kare ayo akanga akavharwa nema tatoo kuti
asanyatsoonekwa.
"Ko aya ma-----------," haana kuzopedzisa
kutaura sezvo ndakamudimbudzira zvaaida
kubvunza. Ndakanga ndaziva zvaakanga oda
kubvunza
"Ehe! Ndiwo chaiwo."
Stacey akanyarara hake ndokugeza ronda
rangu
riye achibva aisa mushonga. Akabva atora
mucheka nekutya zvakanyatsonaka.
"Chipfeka hako hembe dzako,"
Ndakabva ndamupindura,"Waita basa."
Ndakapfeka hembe yangu. Ndokunyatsogara
pasofa paya.
Akabika zvekudya ndokupakura. Ini ndanga
ndatobatwa nehope panguva iyi. Akauya
nechikafu ndokuisa patafura.
"Jackson! Chimuka tidye."akadaro Stacey
atopedza zvake kugadzirira kuti tichitanga
kudya.
Mwanasikana akabika chikafu chandaifarira
chaicho. Ndakadya ndikanzwa parere moyo.
Akazodira chinwiwa cherudzi rwe FANTA
ndokubva tanwa.
Akarongedza ndiro ndokubva andogadzirira
mukamuri mandaizorara. Apedza, akauya
achindiudza kuti ndaichienda hangu
kundorara.
Takawonekana ndikaenda kwangu ,iye
kwakewo..
Ngatimbotarisa chakakonzera kuti mai
vaShirley
vaurawe nemhondi.
Mai vaShirley vaiva mukadzi wemunin'ina
wemushakabvu Trevor Musole. Munin'ina
waMusole uyu ainzi Troy. Vaviri ava vaiva
buda
ndibude mudumbu raamai vavo. Trevor
naTroy
vakazvarirwa mumhuri yaiva yakabudirira
chaizvo zvekuti umwe neumwe akakwanisa
kuwanirwa mari yekudzidzira basa raaida
kuzoita. VaTroy Msole, vanova ndivo baba
vaShirley, nyakubereka, vakadzidzira basa
reurapi. Vakawanda chitupa cheurapi
University
of Tswane ndokuzowana basa paGood Hope
General Hospital. VaTroy Msole vakatanga
kuvengwa nemukoma wavo sezvo vaiva
munhu
aisada zvehunhubu. VaTroy Msole
vaingozviudza
kuti munhu anofanira kudya cheziya uye
kukara
kunourayisa.
VaTrevor vakazoronga zano rekupfuudza
munin'ina wavo nekuda kweshanje. Rimwe
zuva
vakatuma nhume kuzoisa bhomba
mumotokari
yaVaTroy. Bhomba iri rakabva ragadzirwa
kuti
pavaizosunga 'handbrake' ndipo
paraizoputika.
Rakatozoputika vasvika kubasa kwazvo.
Kuita
uku kwakashamisa vazhinji asi kwakaunza
kuna
VaTrevor Msole.
Avawo VaTrevor Msole vakadzidzawo
ndokuzojoina chipurisa. Muchipurisa umu
ndimo
mavakazojoina chikwata cheLeopard Claws
Gangsters nekusagutsikana nemari
yavaiwana.
Hama dzangu! Kana tichiwana mari
yatinowana,
ngatiedze kugutsikana nemari shoma iyoyo.
Izvo
zvekuda kuita ka MINI RESERVE BANK
pamba
penyu ka, muchati kukwira ndagona kudzika
muchadaidza mai. Zvauri kushoora izvozvo
zvaunazvo, anotova machena kune umwe
munhu.
Kadiki kekuzvishandira kanopfuura dura
rizere
zvekuba. Zvakare chenjerai kuzviparika
panyanga dzamushore nekukara mafuta
enyika
aya. Ini,Jackson, ndakanga ndozvionera
pamumhuno sefodya kwete zvekutaurirwa
sembare dzekugotsi.
Rimwe zuva remakore maviri akanga
apfuura,
VaTrevor Msole vakambouya kumba kwavo.
Imba
yavo iyi yaiva pedo neyemunin'ina wavo,Troy.
Kusvika kwakaita VaTrevor Msole vachibva
Capetown, vakasvika mukadzi wavo naMai
vaShirley varipo vachikurura zvavo nyaya.
Mai
vaShirley vakanga vauya pamba apa
kumbotandara zvavo na maiguru vavo sezvo
vakanga vasara vega pamba pavo musi uyu.
VaMusole vakasvikomisa motokari yavo
madzimai ndokuita chipatapata kubudisa
zvinhu
zvakanga zvatengwa zvaiva mumotokari.
Mukubvisa zvinhu mumotokari umu, mai
vaShirley vakabva vasanganidzana bhuku
rakaita
zvekunyorwa nemushina wekunyoresa
sezvinoitwa ma C.V. kana tichitsvaga basa.
Bhuku iri rakatosiyiwa umu zveyatinoti
'mistake'
pachirungu sezvo raiva rakanyorwa
zvirongwa
zvese zvechikwata cheumhondi
chavakatangisa
pavakabuda mu Leonard Claws Gangsters.
Kudhakwa ndiko kwakaita kuti vakanganwe
bhuku iri.
Mai vaShirley vakatora bhuku riya
ndokuverenga. VaMusole vachibuda mumba
vakabva vaona mai vaShirley vachiverenga
bhuku. Zvakavatsamwisa nekutyisa zvekuti
vakaronga kuuraya mai vaShirley. Chero
zvazvo
vakafa vasati vavauraya, zita ramai vaShirley
rakanga rakanyorwa mubhuku reurongwa
hwechikwata ichi sezvo vaityira kuti
vaizofumura
chikwata ichi.
Chikwata chakasara chichitungamirirwa
neimwe
mhondi yakasiya basa muchipurisa zvakare,
ainzi
Bigboy Tshuma. Vazhinji vaimuti MUDHARA
BIGGIE..
Husiku hwandakarara kwaStacey kuya,
takazomuka mangwana ndokuita kuravana
kugeza mu shower. Stacey ndiye akatanga
kundogeza ndokupinda mukamuri yekubikira
ndokubika putugadzike. Ini ndakazogezawo
iye
achibika. Pandakadzoka kundogeza
ndakabva
ndafunga zvekutumira tsambambozha kuna
Shirley.
Ndakanyora kuti," KUTSVENE HERE?
Ndakaverenga ma 'seconds' kubva
pandakaitumira kusvikira paakazotumira
mhinduro. Akakwana gum I chete.
"KUTSVENE."ndiyo mhinduro yaakanyora
Ndakabva ndaziva kuti akanga akabata foni
mu
ruoko pandakamutumira tsambambozha iyi.
Takapedza kunwa putugadzike tikapinda
mumotokari ndokurova pasi takananga
kukamba.
Mugwagwa makanga mune motokari
dzakawanda
chaizvo kuti takaita zvekunanaidza motokari
kusvikira kukamba. Hapana akataura
nemumwe
kwenguva yakati rebei. Stacey ndiye
akazodimbura runyararo urwu.
" Jackson, Ndingakutenda chaizvo kana
usaudza
vanhu kuti wakarara kumba kwangu usiku
hwapfuura. Handidi hangu kuti vanhu vave
nepfungwa dzisiri idzo. Zvakare vatinoshanda
navo vanokwanisa kumutsa chimwe chinhu
pasina chakazopedzisira choita sechokwadi."
Ndakabva ndamupindura zvangu,"Handiudze
munhu."
"Waita hako,"akapindura.
Akabva anditarisa kumeso ndokuenderera
mberi
zvakare," Ndinovimba kuti hauna kufunga
kuti
ndakakuti uuye kumba kwangu nekuda
zvimwe
zvikonzero zvisiri zvekuti urare."
"Ndapota, usandifungirawo zvakadaro,nhai
Agent Stacey. Handisi rudzii rwevanhu
vanofunga
zvauri kureva izvo."ndakapindura
ndakatarisa
kwataienda.
"Newewo usandifungirawo zvakadaro.
Ndaingoda kukubatsira semunhu
wandinoshanda
naye."
"Undisiyewo paKempton Park Audi Car
Sales
paya paya, ndoda kutenga motokari.
Ndinovimba
kuti vakuru havangazoti kwauri mumwe
asarepi.
Kana vakakabvunza wobva wavaudza
chokwadi
chiripo. Handingafambi ndisina
motokari,"ndini
ndakataura izvi.
"Wadii watsvaga rumwe rudzi
rwemotokari,Agent
Jackson. Matsotsi aya angoziva kuti
unofarira
rudzi rumwechete
rwemotokari,vanokurimidza
kukubata iwe."akadaro Stacey.
"Ishoko kwaro rawataura iri. Rega ndinenge
Lexus. LEXUS I.S. 250 inondiitira mushe."
Stacey akazondiburutsa ndokuenda
kundotenga
motokari yangu. Ko ndaikona nei kutenga ini
ndaiva card rebank nemapepa akakwana?
"Unoda here kusangana neni paSteers paya
paya.
Chandinoziva ndechekuti kuti handigarisiko
kukamba. Pandinongosvika ndinovaudza ma
reports chete nekuudzwa zvekuita. Kazhinji
vanotiti tiende kunoita basa."ndiStacey uyu.
"Ndichasvikako asi handisi kuziva kuti
inguvai."
"Pane zvatiri kuzoita here nhasi?" Stacey
akabvunza.
"Chienda kukamba wozondiudza zvinenge
zvataurwa ikoko. Basa haripere pasina
chatawana."
Stacey akasimudza motokari ndokuenda
kukamba.
Ini ndakazosvika LEXUS KEMPTON PARK
ndokuita zvaidiwa zvese ndikatenga motokari
yangu. Zvakanditorera nguva yakati rebei
kuita
zvese izvi. Ndazotyaira Lexus ndokunanga
kukamba. Ndiri munzira Stacey akabva
andifonera. "Agent Jackson, Svika kuno
kukamba
izvezvi. Hanzi SUBARU iya
ya...................................".

END OF CHAPTER 15.


CHAPTER 16.

"Agent Jackson! Svika kuno kukamba izvezvi.


Hanzi SUBARU iya yawanikwa isina munhu
padivi pemugwagwa unoenda kuPretoria.".
"I'LL BE THERE IN 20 MINUTES
TIME."ndakapindura ndokubva Stacey
adimbura
runhare.
Ndakasvikomisa motokari yangu
ndokuburuka.
Ndakaenda kuhofisi kwatairongerwa mabasa
ndokuwana Stacey akandimirira imomo
nemamwe mapurisa. Ndakabva
ndavakwazisa
ndokupinda munyaya yaiva mudariro..
"Eee, vakomana! Hanzi motokari yamakaona
nezuro iya yerudzi rweSUBARU, yaonekwa
mangwanani ano musango padivi
pemumugwagwa unoenda
kuPretoria,"Mutevedzeri waStation
Commander,
VaElton Dube akataura izvi.
"Nyaya iripo ndeyekuti muende kundotsvaga
humbowo hwamungawana ipapo.
Chikurumidzai
muzokurumidza kudzoka.".
Takabuda muhofisi umu ndokumboita
kamusangano kedu kuti tironge kuti
taizozvifambisa sei.
"Saka toita sei, ma officers? Nyaya ndiyo
yamanzwa iyi,"Agent Stacey Sibanda
aibvunza
ini nemamwe mapurisa. Ehe ka, handiti ndiye
aitungamirira kuferefetwa kwenyaya idzi
here?
" Tadii taenda takawanda. Tinoitira kuti
vaonewo zvatinenge tichiita
ipapo,"ndakapindura
ndichipa wo zano rangu ipapo.
Ndakaona zvangu vamwe vangu vaitotora
nyaya
iyi seisina maturo ose. Zvakazoitika mberi
zvakazoita kuti vanditi ndairevesa. Mumwe
akapindura zvake achiseka.
"Agent Jackson! Mava kutya here? Matsotsi
akatoenda kare aya. Munoti vangadai
vachiripo
here nhai imi! Constable! Hahahaha!"
Handina hangu zvandazotataura. Ndakabva
ndanyarara.
"Ngatirege kupedza nguva. Chitaurai
zvamunoona tiende achiri mangwanani
kudai,"
Stacey akadaro.
Pakabva paita umwe akasimudza ruoko
achiti
aida kuendawo. Takazobuda ndeekuti
taizoenda
tiri vatatu uye taizoshandisa motokari
yebasa.
Takasimuka ndokunanga kunzvimbo
yakasiyiwa
motokari iyi..
Nzvimbo iyi yakanga yakangamira sezvizvi:
mugwagwa waipfuura nepakati pemigodhi
yezvicherwa zvendarama yakanga
isingachashandi(inactive goldmines). Yaiva
nemazikomo eivhu nematombo
sezvamunongozivawo kuti paiva nemugodhi
wezvicherwa panenge pasara ivhu
nematombo.
Nzvimbo iyi yaiva nemiti nemazihuswa
marefu.
Zvakare mazitombo iwayo aiva makuru
zvekuti
hawaiwonekwa kana wakamira seri
kwedombo
rimwe chete..
Zvatakasvika panzvimbo apa, hatina kuziva
kuti
takanga tavandirwa nematsotsi aya. Akanga
akativandira kumativi ose emugwagwa.
Takasvikomisa motokari nechemashure
kweSUBARU iyo yakanga yakamiswa
zvakanaka
naka. Mupurisa watakauya naye ndiye
aityaira.
Ini na Stacey tisu takabva tangobuda
motokari
ichiri kufamba. Motokari yazosara kumira
takanga tatova pamotokari yematsotsi iyi.
Mupurisa aityaira(Lloyd Mtisi) akambosara
zvake hake mumotokari yedu hameno kuti
akanga
achiitei panguva iyi. Stacey akanga akabata
bhuku nechinyoreso mu ruoko rwake. Ini wo
ndakanga ndakabata chiovhaovha(2-way
radio).
Chiriporipotyo, takanzwa inzwi rakabva
kumatombo kuya nemahuswa,"DROP YOUR
WEAPONS AND FREEZE!"
Apa pakanga patoshata zvino. Ndakatanga
kuona
kuti upenyu hwangu hakanga hwava
hwekupona
nepaburi retsono. Ndakapfurwa nepfuti
pazuva
rakanga rapfuura ,musi uyu zvikava zvimwe
zvakare..... Haaa chero ndimiwo!
Mungazvitora
sei? Zvangu zvakanga zvotoda n'anga
kushopera
kana rutabaga vakuru vanofamba naJesu.
Stacey akanga otoshayawo kuti oita sei
panguva
iyi. Tose tiri vatatu, hapana kana mumwe
akanga
ane pfuti muruoko.
Mhondi dziya dzakanga dzava kuuya kwatiri
zvino. Lloyd akabva asimudza zvine simba
achiuya patiri ndokuti,"pindai mumotokari
tiende, vakomana! Hurry up!"
Ndakada kuti ndibate Stacey, akanga
asisazive
zvekuita sezvo akanga oti zvauya zvakare
zvanezuro. Takanga tatononoka panguva iyi
nokuti mabara akanga onaya
sechimvuramabwe.
Ini ndakangokwanisa kukandira chiovhaovha
chandaiva nacho mumotokari ndokubva
Lloyd
asimudza motokari ndokurova pasi..
Mhondi dzakada kuedza kumhanya dzichida
kupfura Lloyd asi motokari yakanga yava
shamwari yemhepo chaiyo. Ini
ndakakurumidza
kuwisira Stacey pasi ndokubva ndararawo
pasi
nedumbu. Ndakaita izvi kuti matsotsi
asafunga
kuti taiva nepfungwa dzekutiza nokuti
taizopfurwa tikatsakatikira ipapo.
"Varume! Ngatikurumidzei kuita basa.
Munhu
atiza uyo ari kundoudza vamwe vavo
zvikatiomera,"ndeumwe wematsotsi aya.
Matsotsi aya akachenjera chaizvo. Subaru iyi
yaiva yaikaitwa segonye riri pachirauro.
Takabatwa sehove chaiyo. Hove
ikatombozezawo
wani kudyira pane dzimwe nguva.
" Sungai vanhu ava tiende navo kumotokari.
Zvakawanda tozozviita tasvika,"ndeumwe
wematsotsi..
Takasungwa maoko nerwodzi(ropes)
dzakasimba
ndokuendwa nesu kuseri kwechikomo
chemavhu
aibudiswa mumugodhi. Taifamba tichirohwa
apa
ronda rangu riya rakarwadza. Apa ndipo
pandakaona kuti mutambo uya watsvuka
ropa.
Ndakati nditarise chimiro chakanga chava
naStacey ndakabva ndanzwa tsitsi veduwe.
Ndakanzwa simba richiuya mandiri asi
ndaona
kuti handaibudirira kurwisa vanhu vatanhatu
vane pfuti. Stacey akanga ochema zvaipisa
tsitsi
veduwee.
"Iwe mupfanha! Ndiwe uri kuzviidza
muchenjeri
ka iwe! Musikana wawakatora ukandogara
naye
ari kupi?"
Ndakanga ndava kutonzi mupfanha nezvimwe
zvaitova vadiki kwandiri wena!
"Heyi! Musiye akadaro mhani iwe! Ino
haisati
yava nguva yemubvunzo. Yeuka kuti
muchinda
uya atiza achadzoka nevamwe vake. Vakauya
nechikopokopo tinobatwa pano.
Takasvika pamotokari yavo wanei matsotsi
aya
aiva munyati chokwadi. Vaitoita sevari
kutenga
nekutengesa simbi dziya dzisisina
basa(scrap).
Motokari yavo yaiva yerudzi rweToyota
Dyna.
Motokari iyi yakanga yakazara simbi
dzakarongwa zvakanaka. Pakati pesimbi idzi
paiva nechizarira(cage) chakanga chakaita
sebhokisi rinokwana vanhu vana
vakaradzikwa.
Vakatora mucheka wanga wakaiswa
mushonga
wekuti ukafema mweya une mushonga uyu
unobva warara zvekufa mahafu chaiwo.
Vakandiisa mucheka uya pamhino ndokubva
ndafema mweya wacho ndokubva rima raita
zvishoma nezvishoma ndiye zii. Stacey
akaitwa
saizvozvo asi vakakurumidza kubvisa
mucheka
sezvo vaiti zvaari munhu wechikadzi
aikwanisa
kusamuka zvachose kana ukawandisa.
Takabva taiswa muchizarira ndokuvharirwa
imomo.Vakabva varonga simbi dzavo
zvakanaka
kuitira kuti zvisaonekwe kuti pakati pesimbi
idzi
pane chimwe chinhu. Vazobuda musango iri
ndokuenda neimwe yaindopinda kuneumwe
mugwagwa. Vakapinda mumugwagwa uyu
ndokurova pasi rakananga kumuzinda wavo..
Zvandazenge ndiri kuhope nekuda
kwemushonga
wandakafemeswa uyu, ndaiva murima
raityisa
chaiko. Rima riya rakapera zvishoma
nezvishoma
ndokuita chaedza chimwe chandisina
kunzwisisa
kuti chii chakanga chava kutora nzvimbo.
Ndakaona ndakamira pamahombekombe
erwizi
rwaiyerera mvura yakachena isina kana
kasvina
zvako. Mvura iyi yaierera zvinyoro nyoro uye
miti
yacho yakanga yakasvibira zvaiyevedza.
Ndairatidza kufarira nezvimbo iyi asi
ndainzwa
hana yangu kurova.
Pakarepo ndakaona munhurume aiuya
pandakanga ndiri achiita zvekubhururuka.
Murume uyu akanga akapfeka nguwo chena
nemapapiro kumusana. Iye pachake
aitoratidzika
kupenya zvekuti hawaimutarisa kwenguva
refu..
"Jackson! Uri kuona here kuti kubvuma
kufurirwa kunoparira?" Wakakura uri munhu
kwaye chaizvo ukadzidzira basa rechipurisa
ukabudira. Wakawana basa ndokushanda.
Saka
waitirei kuparadza mweya yevanhu? Hongu,
vanhu ivavo vainzi vakatadza asi havana
kutadzira iwe. Zvamunonyeperana muchiti
wava
warova, makarasikirwa. Ndoda kukuratidza
kuti
wafa haarovi."yakadaro ngirozi iyi.
Ndakanyatsoziva kuti ngirozi sezvo taidziona
mumufananidzo..
Zvandazenge ndiri kuhope nekuda
kwemushonga
wandakafemeswa uyu, ndaiva murima
raityisa
chaiko. Rima riya rakapera zvishoma
nezvishoma
ndokuita chaedza chimwe chandisina
kunzwisisa
kuti chii chakanga chava kutora nzvimbo.
Ndakaona ndakamira pamahombekombe
erwizi
rwaiyerera mvura yakachena isina kana
kasvina
zvako. Mvura iyi yaierera zvinyoro nyoro uye
miti
yacho yakanga yakasvibira zvaiyevedza.
Ndairatidza kufarira nezvimbo iyi asi
ndainzwa
hana yangu kurova.
Pakarepo ndakaona munhurume aiuya
pandakanga ndiri achiita zvekubhururuka.
Murume uyu akanga akapfeka nguwo chena
nemapapiro kumusana. Iye pachake
aitoratidzika
kupenya zvekuti hawaimutarisa kwenguva
refu..
"Jackson! Uri kuona here kuti kubvuma
kufurirwa kunoparira?" Wakakura uri munhu
kwaye chaizvo ukadzidzira basa rechipurisa
ukabudira. Wakawana basa ndokushanda.
Saka
waitirei kuparadza mweya yevanhu? Hongu,
vanhu ivavo vainzi vakatadza asi havana
kutadzira iwe. Zvamunonyeperana muchiti
wava
warova, makarasikirwa. Ndoda kukuratidza
kuti
wafa haarovi."yakadaro ngirozi iyi.
Ndakanyatsoziva kuti ngirozi sezvo taidziona
mumufananidzo. Ngirozi yakatanga kudzidza
zita
re vanhu vandakauraya umwe neumwe
panguva
yake.
"Trevor Msole! Huya," yakadaro ngirozi iyi.
Pakarepo vaMusole vakabuda mumvura
vachibva
vamira pamusoro pemvura.ane mavanga
airatidza sekuti atobayiwa nhasi chaiye
semauraire andakavaita. Veduwee!
Ndakashaya
zvekuita panguva iyi, hama dzangu.
Ndakashaiwa
neromuromo.
Wamuona ka kuti hakuna kwaakaenda.
Akamirira
zuva rekupedzisira. Umwe neumwe anenge
achitongwa maringe nemhosva dzaakapara."
Akazodana vamwe vese vachibuda
nemavanga
avo iwayo ropa richibuda. Ndakatombofunga
kuti
vachauya kwandiri ndikaitwa zvinorova
wanei
vakangoramba vakamira vachichema.
Chiitiko
ichi chakandipedza simba chokwadi. Ngirozi
yakazoti zvaiva zvakanaka kuti ndisiye
mabasa
angu ndive munhu kwaye. Ndaigutsirira
musoro
sa dhambakuro. Ndichiri pakunetseka
kudaro,
chiratidzo chiya chakabva chanyangarika.
Ndokubva ndapepuka.
Stacey zvaakafemeswa mushonga uyu akabva
ararawo hope dzake asi haana kupedza
nguva
refu ari kuhope. Akanzwa kuti yaitinhira asi
aisaziva kuti yakangepi. Akatsvanzvadzira
kumativi ose muchizarira mataiva
ndokundibata.
Apa ndipo paakazoona taiva tose
muchizarira
umu. Akaedza kundimutsa wanei ndaitova
zvangu
mudenga rechinomwe.
Akambofunga ndakanga ndafa akazoona kuti
ndaiva mupenyu paakabata pachifuva
changu.
Ndakati ndichipepuka kuhope dzemushonga
uyu
ndakaona ndakabatwa naStacey uyo akanga
akagara akatandavara ndokutsamhidzira
musoro
wangu pamakumbo ake..
.
"Jackson, ko uri mupenyu?"akadaro Stacey
nenzwi rainzwisa tsitsi. Akabva aenderera
mberi
achitaura.
"Kudai wapedza awa imwe chete kubva
pabuda
matsotsi muno, waidai wandovigwa. Vanga
voti
wapedza nguva inotarisirwa kuti munhu
amuke."
Mashoko aya akapedza simba nekudikitira
pamwe chete. Ndakatanga kufunga nhamo
dzakanga dzondimomotera ndokuona kuti
zvaitoda kushinga. SAKA NDICHAITA SEI
kuti
ndizonzi ndava munhu akasununguka?
Ndagara
ndiri wekuchema kusvikira riini? Zvakare
mhuri
yangu ichasara nani?
Haiwawo! Pfungwa dzemhuri yangu
dzakanga
dzondishanyira nokuti ndaiva mupfumvu.
Panguva yerusungunguko ndainge
ndisingambofungi nezvazvo. Haaa! Varume
tisadaro veduwee! Mukadzi angagara
seshirikadzi murume uripo? Kana riri basa
racho
rinoti mukadzi haabvumidzwe kuenda
kunoshanda murume kana kugara nemurume,
basa racho ngariregwe. Vakadzi kana mune
rudzi
rwevarume vakaita seni,Jackson, mototi kuna
baba vabhoyi basa ngariregwe.
Zvakaoma! Ndakanzwa moyo wangu
kudzimbikana uye ronda rekubayiwa nepfuti
rakanga rorwadza chaizvo.
Imo munzvimbo matakanga taiswa umu
makanga
makambomira sei? Matsotsi aya akanga
akangwarawo, veduwee. Aiva ane inonzi
pachirungu 'SCRAPYARD'. Vaitenga simbi
dzisisina basa dziya vachizotengesa kune
kambani dzinotengawo dzichitakurwa
dzoenda
kundobikiswa patsva kuti dzichigadziriswa
zvimwe zvinhu.
Pane rimwe divi raiva nemotokari dzakafa
dzakakomberedza panzvimbo paiita
sepanoyerwa
motokari(WEIGHBRIDGE). Ndinovimba kuti
vatyairi vemotokari, zvikuru sei vanotyaira
magonyeti, tinoiziva nzvimbo iyi.
Nzvimbo iyi zvayakanga se'weighbridge'
kudaro,
kwatova kurasisa vanhu. Raitova gonhi
reninga
yepasi. Ndimo maiitwa mabasa erima imomo.
Gonhi racho raivhurwa ne 'HYDRAULIC
SYSTEM'. Waingodzvanya remote transmitter,
gonhi rotovhurira. Motokari inobva yapinda
zvayo muninga zvakasununguka uye
pakubuda
waingoita zvimwe chete izvozvo..
Pakati papera chinguva, takazonzwa musuwo
kuti
bherengende ...................................................
END OF CHAPTER 16
Macomments ne kurudziro zviri kuuya.
NDINOKUTENDAI MOSE VARIKUNDIPA
KURUDZIRO NEGADZIRISO. Rambai
makadaro.
GOD BLESS YOU ALL.
N.B. Mind the mistakes.
comments & advices +27627200114 [3/25,
16:06] Murume Wangu: *SAKA NDICHAITA
SEI?*
CHIFURIRO SHORT STORIES
(+27627200114)
CHAPTER 17.
Pakati papera chinguva, takazonzwa musuwo
,bherengende, kuvhurwa.Maziso edu akabva
amhanyira kumusuwo kuya ndokuona varume
vatatu vachipinda muninga mataiva umu.
"Razomuka ziboorangoma iri? Kudai
rangotadza
kumuka raizoita chirariro chemakarwe
manheru
ano."rakadaro rimwe rematsotsi aya.
Matsotsi aya akapfeka nguwani dzeshinda
dzaingosiya maziso chete panze. Aiva
akabata
pfuti mumaoko. Akapinda
ndokumbotenderera
zvawo sevanhu vaitomema zvavo munda
wavo.
" Nyaya iri pano ndeyekuti toda kunzwisisana
chete, handiti?akataura umwe wematsotsi.
"Ndiwe wava kugara nemusikana uya anamai
vatakauraya ka?"
Ndakambonyarara ndichifunga
zvekupindura.
"Hapana wandinogara naye
ini,"ndakapindura
akadumbirwa nehasha asi handina
kuzviratidza
kwavari kuti ndine hasha. Pakarepo umwe
ndokuti," Ohhh! Uri kutoita zvekutamba
nhai?
Mira timbokutaridza kuti muno hamusi
mekutambira."
Ndakapiwa mbama yakaita maungira
muimba
yese ndokubva ndadonha. Varume ava
vakanga
vasina tsitsi. Ndakanga ndava kurohwa
nevamwe
varume pamberi pamusikana, zvandaramba
kubvira ndiri kuchikoro. Chero ndaizobusa
mupfumvu ndaizotarisana sei naStacey?.
Zvekuzonzi murume pasina vamwe ndizvo
zvandairamba..
Izvi zvakaradza Stacey kusvikira kumongo
chaiko.
Uri kuramba zvaunoziva iwe!.
Izvi zvakaradza Stacey kusvikira kumongo
chaiko.
"Uri kuramba zvaunoziva iwe? Takakuona
une
musikana uya iwe umwe musi, musikana
akaratidza kutiziva. Varume! Munhu
anofanira
kufa uyu!"ndeumwe uyu.
" Usati murume uyu, vese vanofanira kufa
nhasi
chaiye. Chisikana tichachibata zvedu."
Nhubu idzi dzakanga dzava kugaya zvekuita
nesu.
"Ko uyu mukadzi uyu ndeupi? Ndimi
munozviidza
mapurisa ,handiti?"
Stacey paakanzwa kutaura nezvake
akaswedera
pandiri. Aitovimbawo neni ,veduwee. Manje
ndaizozvigonawo sei ini ndaiva ndisina kana
banga zvaro..
Aitaura nezvaStacey akatonakidzwa nekutya
kwaaita Stacey ndokuuya patiri.
"Police officers! Handisati ndamboona
mapurisa
anotya sezvizvi. Munozviidza vagoni vebasa,
nhasi toda kuti muzive chakatadzisa imbwa
kuseka iyo kunyenama ichigona. Muchati
baba
nemuridzo nhasi! GUYZ! LET'S TEACH
THESE
SO-CALLED POLICE OFFICERS A
LESSON!"
Hezvo! Tanga tava kutonzi ma 'so-called
officers'.
Ko dzaiva nhema here kuti taiva mapurisa?
Vanhu vakanga vava kutirwadzisa ava..
"Vaita rombo rakanaka nokuti vawana Biggie
vasipo. Mukadzi uyu aitozova mukadzi wavo
chete vasati vaurayiwa vanhu ava. Isu
takarambidzwa nyaya iyi."ndiBotaremwana
uyu.
"Hazvinetse, iwe Botaremwana. Ngavaite ivo
pachavo,"deumwe uyu.
Nyaya yanga yotaurwa apa yaita kuti ndivire
nehasha. Handina kuziva kuti vanhu
vangatisvitsa
pakadaro. Handaida kuitira Stacey zvakaipa
kudaro. Ndakaramba ndokubva vandirova
chaizvo.
" Haasati anzwa. Endai mundotora chigaro
cheumabo agare."
Chigaro cheumambo chairehwa apa chaiva
chigaro chekupisa munhu nemagetsi.
Botaremwana ndiye akasara nesu mukati.
Panguva yakabuda vaviri ava kunze,
ndakabva
ndatsvaga mukana wekuti ndibate tsotsi iri.
"Uya pano iwe, musikana!"ndiStacey akanga
adeedzwa naBotaremwana.
Stacey abva atanga kuchema akandibata,
zviya
zvekuti huya hako uite zvaunoda ,
unondiwana
ndiri pano. Pakarepo Botaremwana akauya
ndokubata Stacey nebvudzi achimudhonza,
ini
ndokubva ndati ndiwo mukana wengoda
chaiwo.
Ndikatotadza ipapa inoda yakatakura.
Ndakabva ndabanha Botaremwana pasi
pechirebvu ini ndakagara kudaro. Rume
rakavhiringika richizvibvunza kuti chii
chakanga
choitika. Bhutsu iyi yandakapa murume uyu
pachirebvu yakaita kut abva angoti negotsi
dhii,,pasi nekuda kwekuti shangu yandaiva
ndakapfeka panguva iyi yaiva ne simbi
kumberi
,iye inowanzo danwa nechirungu Ku,"safety
shoe." Hama vadiwa kutaurirwa hunyimwa
sembare dzekumusana,apa tongoti paingoda
kuzvionerawo pamhuno
sefodya.Ndakakwakuka
pachigaro chandaive ndakagara
ndichisvikotorera Botaremwana pfuti yaiva
pabelt rake iye zvake achirine iya yamunoti,"
confusion" pachirungu.
Ndaiva mushishi kuzama kukoka
ka"piston,aka
ndakangoona wangu mukadzi wandaive
ndapihwa anova officer Stacey achindipa
banga
raive riya rainoshanda muma bhucha
avarungu
"jekakwese."Without wasting time, I have to
act
fast,"ndini ndaizviidza kudaro hangu
nechemumoyo.Pandakange ndoita izvi zvose
ko
ndaizivei kuti ndaitove nemurume pachezvake
Stacey aikurumidza kufunga hama ,mwana
akamhanyira kunokiya gonhi raive rapinda
varume vaye nemukati.
Izvivzvakandipa manyemwe nekuti ndaive
ndava
nechokwadi kut takupedzerana iye inonzi
CAGE
MATCH pachirungu .Pandakati ndichidzika
banga nepano padundundu
pa,Bota,,,ndopandakaona kut ndaive ndarova
shumba nembama chaiyo rume
rakangoti,mbaaa
kubata rouko rwangu ndokuti zvaro
kwanyanu
kumuka paraive radonhera paya
.Ndakashama
nechiitiko ichi asi semhondi yakatombouraya
vaichengetwa nenyoka chaivo ndakaita simba
randisina kuona kuti rabva nekupi ,vanoti ivo
pachirungu ,last kicks of a dying horse.
Zvakatora nguva ingangosvike manitsi
anokwana
makumi matatu kusvika tazongoti tuzu
kutarisana
nekunetesana ini naBota,,,.apa ndipo paive
poshanda iya inonzi experience
count.Semunhu
aimbopota achitraner basa roumhondi
Botaremwana ndakamurova neiye yavanoti
round
kick ,ndakaona rume roti wozhoo kuwira pasi
ipapo ipapo.Pandakati ndimhanye ndipedzise
ndakawana Stacey atove pakati kubaya baya
Botaremwana nezibakatwa randisina kuziva
kuti
ariwana kupi mumba maaive apinda
somuenzi
chaiye.Ndiri pakati pekutura befu nokubata
ronda
rangu reparuoko ruye ndaknzwa zinzwii
raibuda
kukamuri kuye kwakakiiwa naStacey
nemukati
richiti ,"how far have they gone now? Vaita
here
zvemubedroom?"
Ipapo Stacey akaratidza kuvhunduka kwazvo
sezvo aive ofarira sign of victory yataive
tapangidza at that time.Chakandiomesa mate
mukanwa kuzviwisira kwakaita Stacey muviri
wake pachipfuva changu ,izvi aive asati
ambozviita even though pandakarara kumba
kwake chaiko.
Ndakatya kumhanyira mwana uyu kumberi
zvokuti ndaingomuti,"its fine tobuda. Don't
worry," ndisingamubate hangu.
Ndakazongonzwa
muromo wangu watota kudaro. Ipapo
ndakanzwa
ropa kupisa veduwe zvokuti
ndakatombokanganwa kuti ndaive panguva
yakaoma.
Ndakangosara nemuvhunzo wangu waisada
mhinduro kuti ,SAKA NDICHAITA SEI
,nekuti iyi
yaitove kiss yaifana kungopihwawo response
pakanaka ,sezvo muchiti kandiro kanoenda
kunobva kamwe ndakukanganwa nhamo
yangu
ndopawo Stacey tsvodi chaipo,apa kaitove ka
short wedding nekuti Stacey raive babie
hama
and I failed to resist zvandakaita Shierly paye
,ko
ndaiva ndagarisaozve ndaigodiiwo.Pandakati
ndichidya hangu muchero wepakat
ndopandakabva ndanzwa inzwi riye
roti",Botaremwana don't mix business
nemahure
ukuiteiko vhura door mhani,"
Takangotarisana ndokumhanyira Ku door
kuye
kuti kana vakada kupaza tinongovaita
kanyama
kanyama na officer wangu ava.Hapana
akamboita pfungwa dzokuti ndatitizei nekuti
taisaziva kuti gonhi iri taizorivhura sei ipapo.
Vhuuuu! kusvika kwaOfficer Lodza(Lloyd)
avo
vakange varikufemera pamusoro sendere
ranaiwa
zvaro vachipinda pa camp. Vakatsika mota
sezvinonzi pamwe vane murwere
mukati.Chokwadi mota pana Lloyd ,yagara
yaibvuma sezvo ariye aifamba ne mota
yavarwere
yamapurisa.
"Officer kwakanaka here? Ko vamwe varipi?
Mbavha madzibata here? Saka dziripi tidziise
mukati?"Ava ndi VaDube vaiita kupotsera
mibvinzo mina panguva imwe chete vasati
vanzwa mhinduro ya Lloyd uyo asasagone
kana
kumira zvako nedzungu uye nemabatirwe
akaita
vamwe vake nematsotsi aya.
"Kwa,a,,,,ahhh,"uyo ndi Lloyd aida kuzama
kubatanidza manzwi airamba kubuda ipapo.
Zvisinei, VaDube vakadanidzira "water
please."
Pakauya kamupurisa kechidiki ako kaive
kachangobva zvako ku chikoro cheupurisa
ichi
kakabata komichi yemvura ndoku saluta
kachitambidza Lloyd.
Achangopedza kunwa haana kumirira Kuda
kubvunzwa zvakare akangokwanisa kuudza
VaDube achiti," Kwakaipa,Boss! Jackson na
Stacey vabatwa ne.........."
"What? How?" Ava ndiVaDube vaibvunza
Lloyd
kudaro asi haana kupa mhinduro hake
semunhu
akange achikutoshamisika achiona mota
isisina
magirazi ekumashure aive apwanywa
nemabara
epfuti dzembavha idzi.
Zvakapa VaDube ukasha
ndo kubva varova pito ,"priiiiiiiii," iyi yaiva
ye
emergency parade,.
Mapurisa ose akaungana kuti vanzwe nyaya
yavadanirwa asi vakashama kuona ziso
raVaDube riri dzvuku semhiripiri chaiyo.
Rume
iri raiva rakanaka pachiso but kana vava
kupfeka
chiso chebasa waitofunga kuti zvimwe indove
yemombe yadonhera paruvare nekuti face
yaireba reba pamwe nekukura kura " kufara
fara.
Vapfanha vakabva vaziva kuti hakudyiwi
rinopisa
nhasi pano pa camp.
vakataura mashoko avo
WITHOUT WASTING MUCH TIME, kamba
yakasara kamupurisa kekuunza mvura kaye
koga
sezvo ndiko kaive kasina experience kana
kwaizomuka hondo seyatizwa na Lloyd uyo.
"Vhaaaaaaaaaamu!" Defender
rakabuda rakarumana nehonda fit yaVaDube
sezvo vaive vasarudza kurova cv kuzoda
kurasisa
matsotsi aya."Tsviiiii!" Motokari yaiva mberi
yakamira zvokuti yaVaDube yakapotsa
yatorovera kumashure nekuti akangomira
pakati
pemugwagwa. Lloyd wacho chero zvazvo
mugwagwa uyu waive usina samente
sedzimwe "
tar' asika waivapo pamap yemigwagwa asi
zve,
Chembere(MBUYA VAKIKI) mukadzi
hazvienzani nokurara mugota . Mapurisa
akabuda akapakata zvombo zvavo
vakagadzirira
hondo svinu,asi ka,Subaru haina kuonekwa.
Yakatoti zvayo makandisiya riinhi pano,
madzishefu.
Vakazama unyanzvi hwavo hwose asi Subaru
ikat
i,"kana." Izvi zvakaomesa vaDube mate
mukanwa kuti gwaaa. Avawo VaNdlovu
nyakutuma Jackson kuuraya vanhu vakanga
vauya panzvimbo apa. Vakanga vototya kuti
umhondi hwavo hwazobuda pachena nekuti
vaityira Jackson kuti achatengesa nyaya
kumatsotsi aye.
Vakatenderera nesango rose kusvika
pakupererwa sevachatsvaga Jackson
naStacey
muhomwe chaimo."SAKA NDICHAITA
SEI?"ava
ndivaNdlovu vaizvibvunzawo voga zvavo
nechemumoyo.
Pavakange vaneta vazongoti tuzu vose
pamota,
ndipo pakauya mumwe mupurisa achiratidza
kumanya zvakaoma achibva mabvazuva
akabata
nguwani yechikadzi asi iri yechipurisa.
Nguwani
iyi yaiva ya Stacey yakanga yadonha
pavaizvuzvurudzwa vachienda kumotokari
yaiva
nesimbi uye nechizarira chavakazoiswa
mukati.
VaDube vachiona nguwani iyi vakaratidza
kupembenuka pachiso chavo(To have hope).
Vakaenda panzvimbo pakanga pawanikwa
nguwani ndokutsvaga kwadzakanga dzaenda
nako kusvikira vasvika panzvimbo
yakazoiswa
vanaJackson muchizarira. Panzvimbo apa
pairatidza kuti pane zvikukutu zvakanga
zvaitwa
ipapo nokuti huswa hwakanga hwaona
nyatwa
yetsokodzerwa. Vakaonawo kuti pakanga
pafamba motokari yakakurei ndokutevera
matsimba.
Pavakanga vosimudza mota kuenda
ndopavakaona kuti vaive vashota ndokuzama
ku
kushandisa chiovha ovha asi hapana
akabatika
pamhepo ndokumira zvakare votsvagazve
officer
vashota vaye. Vskazongonzwa
kuti dhuuu! dhuuuu! dhuuu! ndiye vose
varara
kurara pasi asi VaDube havana kurara nekuti
vakato "advancer," vachida kuona kuti
chiizve
pamwe matsotsi abatwa . Mutinhimira
wepfuti
uye wakatobva pakaridzira officer vaye
nyoka
yavakange vaona pavakati regai ndizvibatsire
pano pasango.
Kusvika kwaVaDube panzvimbo parira pfuti
kwakatyisa officer vaye sezvo vaitova
,busy,havo
"Ahhhh! Ko chii? Waonei?" NdiVaDube avo
vaibvunza asi hapana akadaira. Nyadzi
dzinokunda rufu veduwee! Officer vechikadzi
ava
vakanyara kuona Station Commander wake
achidzoka kumashure akabata mhuno.
Zvisinei, akabva angoti yadeuka
haichaorereki,
akapfeka hembe dzake ndokumanya kuuya
kumota kwaiva navamwe ,kuitira kuzovhara
nyaya kana vamwe vobvunza chikonzero
chaaridzira pfuti. Mota yakamutswa
ndokufamba kusvika Ku camp pasina
akambotaura nemumwe kuma officers ose
zvawo.
Pava paya, Lloyd ndiye akabvunza
chikonzero
chaive charirira pfuti asi chaakadavira
hapana
nekunyara .
Shirley zvaakasarawo kumba kwa mukoma
Jackson, aka...............................
END OF CHAPTER 17.

CHAPTER 18.

Shierly zvsakazosarawo kumba kwangu,


akangoramba akagara akabata chiringazuva
chake muruoko pamwe nefoni yake achiti
zvimwe nguva zvadzafamba pamwe
ndaizofonawo
ndichitaura kuti ofanobika muriwo upi sezvo
ndaiita semukadzi anemimba panyaya
yemuriwo
apa. Ini ndaisarudza miriwo zvinosvota
zvokuti
kana iye Shierly aive atoneta nazvo.
"Zvino zuva zvaratovira mukoma vasati
vafona
apa nguva dzavo dzokudzoka kumba mazuva
ose
dzatodarika,."Aya aiva mashoko
echimhandara
Shierly chaizvitaurira choga zvacho.Nguva
dzakafamba pasina kana update kubva
kwandiri
"SAKA NDICHAITA SEI mukoma zvavasati
vauya kumba ihwo hwatova usiku," uyu
waingova
mubvunzo nhando kubva kuna Shierly nekuti
hapana waaibvunza sezvo aiva oga mumba
umu.
Kunze kwakasviba nguva dzokurara
dzikakwana
ini ndisati ndasvika. Shirley akanorara zvake
samazuva ose asi chakanetsa apa kubata
kwehope ,hama munoziva kuti kana
uripanguva
yakadai hope hadzaibata nokuti Shierly
akatanga
kufunga ronda raaive aona parwuoko rwangu
nezuro uye pandakapfuurwa nepfuti
namatsotsi
aye Botaremwana nevamwe vake.Nguva
dzakafamba kunze kukaedza pasina kana
chati
chachinja pamba apa .Shierly akatora
mbozha
nhare yake kuti anzwe kana mukoma vaive
vari
mutano kwandaiva uye anzwe kuti ,icho
chaita
kuti ndisauye kumba chaiva chiizve.
Akabaya baya pagirazi rembozhanhare yake
sezvo yaiva isina kana bhatani rimwe
zvaro.Musikana pakati aisa mbozhanhare
padama akangonzwa tu -tu -tu- tu. Izvi
zvakamuomesa mate mukanwa nokuti kaive
kekutanga kubva zvaaive agara neni kuuzwa
phone iyi ichiramba kupinda.
"DAI BABA NAMAI VARIPO,"uku kwaiva
kungodemba kwaive koita Shierly asi
wekudemba
naye aisavapo zvake. Akanga otofunga
vabereki
vake vakashaya,zvikuru sei mai nehanzvadzi
yake
avo vakaurayiwa akatarisa. Hupenyu
hunombosvika pakurwadza chokwadi.
Shirley ainzwa moyo kusunungunguka uye
kufara
zvakanyanya kana ini ndiripo. Woita sekuti
achati
tiende kundorara mukamuri imwe chete neni.
Muupenyu aripo munhu waunoti kudai nhingi
ndikagara ndinaye, MAPROBLEMS ESE ,
DISAPPEAR! Ini ndakanga ndava pamoyo
paShirley zvachose asi handaizviona.
"SAKA NDICHAITA SEI zvandisina kana
hama
yamukoma yandoziva kubva zvandakatanga
kugara navo," uyu ndomubvunzo
wakatambudza
pfungwa dzake.Shierly akati rega ndizame
kepiri
zvimwe kuda pavaiva nguva yandafona
paisava
nemasai sai akakwana.Achangopedza kubaya
baya hake ;phone:yake akanzwa kanzwi
katete
kakatsetseka zvonwisa mvura kachidaira
hako
kachinoza zvako "the number you have
dialled is
not reachable please try later",zii kapedza
zvako
kunoza kamurungu kemufoni
Mukunzwa izvi Shierly akashama nazvo
ndokungoramba akavhura ziromo rake apa
maziso akutoita seachadonha pasi
nekuvhurwa
zvichiratidza kupererwa .Kuruuuu! mudumbu
makarira zvamo sezvo zvaive zvobatanidzira
nenzara yekusadya usiku hwapfuura.
Chokwadi
ndeichi hama, kudya chikafu kugarika
kuye,nguva dzakafamba kusvika atove
masikati
mwanasikana asina ,update, kuti ndaivepi
uye
achamuchengeta ndiyani sezvo aiti
azviwanira
mubatsiri wake. Chakatanga kuuya
mupfungwa
dza Shirley ndechekuti ndakanga ndafa sezvo
aiva aona ronda reparuko rekupfuurwa
nepfuti
riye. Mukufunga izvi akatanga kunzwa muviri
kupera simba zvokuti akati akamboti
ambogeza
zvishoma pamwe aizowana simba.
Paakati achivhura gonhi repa bhavha mwana
akaridza mhere yuhwiiiiiiiii, yakachityisa
zvokuti
dai baba namai varipo nzeve dzaiputika
.Chakashamisa apa chingachemedze chaicho
paive pasina asi ,ndangariro dzenyoka
dzakamubaya moyo zvokuti akamhanya
akananga kudoor kuye kwandakanga
ndakamira
zuva riye ndokuzviwisira hake padoor ipapo.
Chokwadi Shierly apa akaratidza kugumirwa
zvokuti mwana mucheche aiva nani
anonyaradzwa nezamu mukanwa.
Pakapera mazuva maviri pasina chati
chachinja
padambudziko rake zvokuti akafunga
zvekuenda
kundopira nyaya yake kumapurisa. "SAKA
NDICHAITA SEI?" uyu mubvunzi
wakamudya
moyo kusvika pakuti akatoona kuti nhamo
yefodya irinani inoti uku yakarumwa uku
inotsva.
Nhamo yake apa yaiva yekuti haasikuziva
kuti
anonopira nyaya yake sei kumapurisa uye
haasanganizve here nemhondi dzamutorera
mukoma vake idzi dzikamuita kanyama
kemagora.
Zvisinei mwana akarovera moyo padombo
ndokunanga kumudhudhudhu. Achangoti
budei
zvake mugeti repamba akanzwa tiriri tiriri
kuchema kwembozhanhare yake
uko.Chisikana
chakapotsa chatorovera pamuti mupurazi
umu
nekufara chichiti zvimwe ndimukoma vaive
vafona. Pachakati chibaye wanei ahhh vanhu
vekuEconet Call Home(Cell C) vaive vafona
vachichikorokotedza sezvo chaiva chasvitsa
makore gumi nemapfumbamwe ekuberekwa
zuva
iri.
Umm! uyu mwana aive panguva yakashata
zvokutadza kuziva zuva rake rekuberekwa
veduwe. Mudhudhudhu wakarohwa sezvo
chaitya
kuti zvimwe chingasangana nematsotsi
chikada
kufamba sechiri pa'tourism'.
Pfacha kusvika pa camp kwechimhandara
ukuchichirova ,step, semunhu anonokerwa
hake.
"Maswera sei zita rangu ndinonzi Shierly.
Ko mukoma Jackson varipo
here,"?,ndokumbirawo kutaura navo izvezvi,"
"Order please,musikana! Uri kutopedzera
nyaya
yako uripadoor. Kwakanaka here?Pinda
mukati
ugare kune vamwe. Hausi kuona 'queue' iyi?
Unoti vanopenga here vanhu ava," uyo Ndi
Lloyd
mupurisa uye wekutiza matsotsi nemota
aipindura Shierly nenzwi riri pamusoro soro.
"Jackson akaita sei?" Uyo mupurisa aive
obvunzisa sezvo akarohwa nehana
paakanzwa
zita rangu. Chakatanga kuuya mu pfungwa
dzake
kuti zvimwe awanikwa akafa semunhu akange
atorwa namatsotsi.
"Simuka uuye kuno utaure nyaya yako zvizere
apa!
Wakagara! Haunzwe kuti ndiri kutaura here."
Chokwadi kana iye Shierly haaimbotadza
kuchema nekutya nekuti matauriro aiitwa na
Lloyd aityisa sezvo aiva munhu agara ane
voice
rakashata kunga chidhakwa chakorwa nahwo
hwamatanda. Chisikana chakazvishingisa
kuti
chiende pamberi apa kunotaura na officer
ava asi
chaiita sechichadonha nekubvunda
kwachaive
choita.
Without wasting time, Shierly akarudunura
zvose
zvaive auya akapakira mu pfungwa dzake
,zvokuti
dai paive nevenhau, michina yaiiti momori
furu
nekuti akatora nguva achirondedzera nyaya
yake.
"Hoo saka iwe ndiwe Shierly wa............,"
haana
kupedzisa Lloyd nekuti akabva agamhwa
navaDube avo vobuda mu office navo sezvo
lunch
yaive yachaya.
Achangopedza kazeve zeve kaakaita
navaDube,Lloyd akadzoka akawana Shierly
ratove dziva remisodzi pa tafura
yaaishandira
Lloyd izvi zvakamurwadza zvikuru.
"Lunch hour vabereki! Tine hurombo
modzoka
kana lunch yapera." Uyu mupurisa
akadanidzira
kudaro.
Shirley zvaakasara akagara kudai haana
kuziva
pfungwa dza officer ava kuti dzaiva papi
nekuti
vaive varatidza chose kuda kumubatsira
nepavaigona napo. Dai aiziva zviri mberi
angadai akabuda panze nevamwe chokwadi
mwana uyu.
"OK! Nyaya yako chisikana. Zvino inotoda
kushinga semurume chaiye kuti
ndikubatsire,"
aya mashoko akabva kuna officer
akanyevenutsa
moyo wa Shierly uyo waiva wava kure kure.
"Zvino ini ndikakubatsira apa handizofi here
kana mhondi dzako dzauya? Chinyora namba
yako yefon apa ndizonzwa kuti wafamba sei
sezvo
wakuda kuenda nguva
dzapera."073038*****,"
akapedza kunyora akapa officer vaye bepa
ravo.
Ko aizivei kuti Lloyd aitoti dzawira
mutswanda
hadzichanetsi kuorera .Asati asimuka, Lloyd
akabva angoti chinono chinengwe, bere
rakadya
richifamba. Simbi inorohwa ichpisa iyi.
"Hona ka, mwanasikana. Ini ndinonzi Lloyd.
Ndiri jaya rizere. Zvakaipei ukambonovanda
mhondi dzako uri kumba kwangu?"
Mashoko aya akashamisa Shirley sezvo
akanga
ajaira kugara kumba kwangu. Akambotora
kanguva akanyarara achigaya mhinduro
yaaizopa Lloyd. Asika , mwana uyu
aindifarira
zvake asi pfungwa yekuti aizokwanisa
kusvikirwa
nemhondi ndiyo yaimutyisa.
Shirley akaramba zvake ipapa asi moyo
wakamboti kudai ambogara na Lloyd
akamirira
kuuya kwangu.
Akabva azongoti;" ndomufonera kana paine
chaipa." Muhana ma Lloyd mkanzwa
manyemwe
asingaiti kunzwa kuti ndozokufonera.
Achingoti pedzei fenzi ye camp iyi Shierly
akanzwa kuchema kwefon Ngriiiii ngriiiiii.Asi
haana kudavira sezvo akarangarira paaive
apotsa arova arovera pamuti paye.
"SAKA NDICHAITA SEI sezvo fon isiri
kudairwa?"uyu ndi Lloyd aishushikana
mupfungwa dzake hake oga.
Achangoti pindei mumba Shierly akati regai
ndimbodye sezvo aive otokwana mazuva
maviri
asina kumboti nanzvu kachinhu kanobata
mudumbu.Aigodii sezvo aive opona nemvura
sehove yegungwa.Akapedza kudya hake ndiye
ziiiii aripo pasofa asina kana kubvisa ndiro
dzaaive adyira.Hope dzekufa chaidzo ndidzo
dzakamubata zvokuti aigona kubiwa akarara.
"Ngriiiiiii ngriiiiii! Foni yakachema asi
hapana
akabata .Izvi zvakanetsa Lloyd ndokuti
aisatarisira zvakadai kubva kumhandara iyi.
Kuzoti kwatova kuma 1 : 00 am nguva
dzeusiku
Lloyd akati regai ndizame zvakare.
"Ngriiiiii! Shirley akangoti pepu, kumuka
zvine
kakuvhiringika.
" Hello, mukoma Jackson! Ko munouya
riinhi?
Muripi? Rava sei ronda? Ko mbavha
makadzibata here?" Iyi mibvunzo
yakabvunzwa
panguva imwe chete pasati pauya mhinduro.
"Shierly handisi Jackson ndini officer Lloyd
."Ahhh sorry* maswera sey officer," uyu ndi
Shierly akakumbira ruregerero kuna Lloyd.
" Ndati ndinzwe kana wakafamba
zvakanaka,uye
kuti ndikuudze kuti ini nokuda zvokuti
ukabvuma
ndokubatsira kubata mhondi dzakauraya mai
vako,"mashoko aLloyd aya akavhiringidza
Shirley zvekuti akatotanga kuchema. Moyo
wake
wakanga uri pandiri sezvo ndini ndakanga
ndamuraramisa. Zvakare akanga aona kuti
ndakanga ndisingade kutora
mukana(advantage)
nekuda kwemumatambudziko maakanga ari.
Asika, kusauya kwangu kwakanga
kwamuvhiringidza. Akanyatsoona kuti Lloyd
aisava nehanya nekushayikwa kwangu asi
aitoda
zvemafaro.
Shirley haana hake kumhanya, akangoti,"
Ndichambofunga."
Iyi mhinduro yakangobudawo zvokuti kana
iye
Shierly wacho akatoshamisikawo nazvo kuti
aida
kufunga kuti chii ipapa.
"SAKA NDICHAITA SEI?"uyu ndi Shierly
aizvitongeza nemhinduro yaaive apa.
Nguva dzakafamba kunze kukachena sezvo
vaviri
ava vaifonerana pakati pousiku. Zuva
richangoti
bhaaakubuda muna amai varo Shierly akati
rega
ndiite zvokuenda kutori kucamp kwacho kuti
ndinzwe mashoko a officer ava kut vaiitii
sezvo
nguva dzavafona ndaive kuhope.Akazama
kugadzirisa zvake chiso chake kuti
chisapangidza
semunhu ane mashoko arikumunetsa
mupfungwa.
Akangotora kamudhudhudhu kake sezvo aive
anonokerwa haana kana kumbotarisawo
peturu
kuti yaive yava papi.Achingoti tarisanei
nemugwagwa wainanga pa camp
akangonzwa
kakaita kachikosoro kaibva pamudhudhu
wake
ndiye koro koro koro zii wakadaro. "SAKA
NDICHAITA SEI?" Uyu mubvunzo apa
waitoda
mhinduro nokuti apa aive avakutya kuonekwa
nembvavha dziye dzaimutsvaga ,achityazve
kusiya mudziyo wamukoma musango usina
muchengeti.
Zvakamutorera nguva yakati kurei sezvo aive
angoita zvokubabaika pakuronga kwake
haana
kana kumbonge atakurawo kana mari
zvayo.Paakati achiti regai ndiusiye ndiende
ndipo
paakanzwa ,pi pi pi pi ,nechekumberi kwake
uyu
ndi Lloyd aive oridza huta iyi sezvo chiso
chaShirley aive akuchiziva.Mwanasikana
akamhanya, haana kuda kumirira kunzi huya.
Izvi
zvakabva zvapa Lloyd mukana mukuru
wokuti
abvunze mhinduro yakewo ipapo. Vaviri
vakatora
mudhudhudhu ndokubatsirana kukanda
mumota
yamapurisa iya.
"Ko muri kubva kupi nguva dzebasa kudai?
Ndiri
kutouya kunoona imi kukamba." Uyu
mubvunzo
wakafadza Lloyd sezvo aive akateya tsoro
dzake.
"Ahhh ndaitova munzira kuuya kumba kwako
kuti
ndinzwe kana wakarara zvakanaka," aya
manyepo akarutswa na Lloyd sezvo kumba
kwa
Shierly aisakuziva. Dai uriwewo waiita sei?.
Nedambudziko raive naShirley
akamborikanganwa panguva iyi akadzikisa
tsime
remisodzi pamatama. This time around, it
was
tears of joy.
*Mwana aifarira manyepo aLloyd
sechokwadi.Akatanga kufananidza Lloyd neni
mukoma vake Jackson achiti awana munhu
ane
rudo aizomununura munjodzi iyi. Lloyd
akamutsa
mota yake sezvo yaive yakamira nguva yose
yaiturika tunyaya twokumutsana uku. Shierly
akashamisika oona Lloyd akuburitsa
mudhudhudhu mumotokari onanga nawo
papombi inodirwa peturu ndo kuisa hake full
tank.Iyi yaive* a step forward in Lloyds
proposal
to Shierly.
Akaudzorazve mumota ndokufamba akanga
kuye
kwavainge vabva na Shierly .
"Saka wakati chii nhai mwansikana?" Uyu
mubvunzo wa Lloyd kuna Shierly.
"Ndinokubatsira uye kukuudza *everything
about
Jackson where he is at the
moment*,"Mashoko
aya akaita kuti hana ya Shierly irove
ndokubva
angori ziiii akadaro *faint or collapse.*
"SAKA NDICHAITA SEI?"uyu ndi Lloyd
zvino
aive obvunzawo mubvunzo nhando panguva
iyi.
Akaona sekuti kuenda naShierly kumba
kwake
was an option sezvo aisava ne address ya
Shierly
at the moment.
*Zvakatora ma hours anokwana matatu
Shierly
asati mamuka nekuti *she was shocked
nekunzwa
zita rangu her life saver kut ari.............*
Semunhu wekumedical staff kubasa kwake
Lloyd
hana kunyanya kupanic zvaakasvika
naShirley
kumba akaona kuti *her heart is still
working*.
Musikana akazomuka patora nguva yakati
kurei
kwazvo zvokuti aitoshamisika kuti aive
amuunza
kumba ndiyani saka akabva angodanidzira ,"
*Mukoma Jackson mauya nguvai?*"
Akashamisika achiona Lloyd achiuya
akabata
ndiro yebota zvokuti akabva aona *picture ye
a
caring good husband.*Shierly akadya
akapedza
ndokukumbira kuti aende kumba sezvo nguva
dzaive dzafamba.Akavimbisa kuti aizofona
achitaura kuti afamba sei uye nekupa
mhinduro
kuna Lloyd pa nyaya yake
yerudo. ...................
END OF CHAPTER 18.
CHAPTER 19

Ini (Jackson)naStacey zvataiva tichiri


muninga
yepasi iyi, ndaitonyatsonzwa kuti zvakaoma
sekufema mvura. Zvaitoda kusunga dzisimbe
kwete zvekuita sepwere dziri pamahumbwe.
Ndakatanga kugaya kugaya kuti taizozvigona
sei
kuti tibude muninga umu. Muimba umu
haibudika
zvemakanya, aiwa. Taitofanira kutanga taziva
button rakadzvanyiwa kuti gonhi riwane
kuvhurika. Zvakare taizozvigona sei sezvo
mumba
umu maiva nemagetsi. Nokudaro vanhu ava
pavaizopinda umu vaizokurumidza kuona
zvatakanga taita vakatiuraya. Saka
taitofanira
kufunga SCOP DHONORO chaiyo.
"Iwe Botaremwana! Vhura mukova mhani
iwe!
Uri kuitei imomo?"ndeumwe wevaviri
vakanga
vaenda kundotora chigaro cheumambo
chairehwa(electric chair)..
Tichinzwa mashoko aya, ndakatarisa Stacey
iye
ndokunditarisawo achiratidza kutya.
Panguva iyi
ndava kufunga kuti SAKA tichaita sei kuti
tiwane
kubuda muimba yepasi iyi. Zvinhu zvakanga
zvarembera mativi ose setsapo yedhongi.
Ndaiti
ndikafunga nyaya yaShirley kuti aizozvigona
sei
zvaakasara ega ndaitorwara mupfungwa.
Asika,
iyi yakanga isiri nguva yekudemba munhu ari
kunze. Ndaifanira kuti ndifunge semurume
kwete
kuita segwara.
Ndakambofunga kuti tibvise chihuri
chemukati
ivo vozovhura semazivire avaiita sezvo gonhi
racho haraivhurika zvekumhanya. Dzimwe
pfungwa ndokubva dzati titange tadzima
mwenje
waiva mukati umu kuitira kuti tirovane
murima.
Ndakatarisa tarisa mumba umu ndichitsvaga
switch yemwenje uyu ndokushaiwa.
"Botaremwana! Ukaona tikakwanisa kupaza
gonhi iri tikakubata tinokuuraya. Wava
kuzotibhowa iwe!" Mhondi dzakanga
dzatsamwa.
Ndakabva ndataura naStacey neminwe
sezvinoitwa vanhu vasingakwanisi kubudisa
manzwi nemuromo. Ndakumuudza kuti amire
pamafudzi angu ndosimuka zvishoma
nezvishoma
iye akamira pamafudzi angu kusvikira
akwanisa
kubata mwenje uyu. Akada kumboramba
sezvo
akanga akapfeka skirt. Akaiziva kuti kana
ndaizotarisa mudenga ndaizoda..........Aaaaa!
Chipedzisai mega. Yakanga isiri nguva
yekunyarana sezvo kakomo kenyadzi kazere
makuva. Akazobvisa mwenje uya ndokubva
maita
rima. Stacey akazodzika hake ndokubva
ndazevezera munzeve dzake ndichimuudza
kuti
tivande kukona yemba iyi. Stacey akanga ane
pfuti ini ndaiva nebanga..
Takazobvisa chihuri, idzo mhondi
dzichizovhurawo gonhi ne remote.
"Ko zvamava murima? Magetsi aenda
here?"yakadaro imwe mhondi payakanga
yotsika
manera ichipinda muninga iyi.
Padzakanga dzichidzika nemanera , imwe
yacho
ndokuti,"Iwe Mabhachi iwe! Muno muri
kunhuwa
ropa muno!"
"Ndiri kuzvinzwawo shamwa............,"haina
kuzopedza mhinduro yake sezvo ndakanga
ndamugadzika jekakwese pahuro chaipo.
Ainzi Mabhachi wacho paakanzwa zvakanga
zvaitika, akada kukwira manera achidzoka
kunze.
Stacey akabva aregedzera mbumburu
ndokubaya
kumusana ichipfuura ne pamoyo chaipo.
Stacey ndaimushaya ndokuti aiva akaita sei
chaizvo. Aiva munhu aitya zvikuru asi kana
atovera moyo M pane zvaaida kuita haaizeza
kana padiki zvapo.
Mhondi yakati zhokoto, ndiye yarakadya
ndiroro.
Iya ndakanga ndabaya ,yakanga yava
kunyikadzimu nechekare.
Hatina kuda kuswerovhiya mbeva kubvura
kuri
Iko kuri nyore. Hataifanira kuita chinono
sengwe
tichitadza kuita sebere rakadya richifamba.
Zviuya zviri mberi. Chaputika chaibva uye
chaibva chamirira musi wekuora kwacho.
Takatanga kukwira manera tichibuda
muninga
umu. Patakabuda panze takatarisa tarisa
tichida
kuziva nzvimbo yatakanga tiri ndokuona kuti
masamba asiyana..
Kudivi rekumapurisa, nyaya yemhondi
nekushaikwa kwangu yakanga yovatemesa
musoro zuva nezuva. Vakaona zvakakodzera
kuti
vaudze mapurisa enyika yose kuti vabatsirane
kutsvaga ini naStacey pamwe nekutsvaga
mhondi.
Chainetsa panyaya iyi ndechekuti nyaya iyi
yakanga isina humbowo hwakakwana.
Hongu,
vaifungidzira VaNdlovu asi ka, pachipurisa
zvinonzi fungidziro inofanirwa kuva
neumbowo
hwayowo.
"Eeeeh! Ma Officers! Nyaya yatinayo mazuva
ano yatinetsa iyi. Zvava kunetsa kuti totanga
nayo
papi sezvo hapana humbowo heat at I tawana
parizvino, tikatarisa kuurayiwa kwevanhu
uye
kuputika kwebhazi tinoona kuti nzvimbo yedu
yaipa iyi.. Ngatiise misoro yedu pamwe chete
tione kuti toita sei nenyaya iyi,"vakadaro
VaDube
vachitaura nevamwe vavo pamusangano.
Umwe wemapurisa akabva apindura,"
Pfungwa
yangu inoti, Tadii tamboferefeta musikana
uya(Shirley) akati aivamowo mubhazi
naConstable Jackson? Vanhu ava handivaoni
mushe ini."
Izvi zvakavhundutsa VaNdlovu avo
aisimbonyarara nguva dzese paitaurwa
nyaya iyi.
Vakabva vapindurawo panguva iyi. Hameno
kuti
chakanga charova sei chando kuzokwidza
hamba
mumuti.
"Jackson haumuoni mushe chirudzii iye
akatotapwawo nematsotsi. DOES THIS
MAKE
SENSE?"ndiCaptain Lewis Ndlovu avo
vaitaura
neziso raiti,'mupfanha ukada kutsvara zvisina
zera newe unonyura.'
Mupurisa uya haana kuzoenda mberi
nepfungwa
dzake. Akabva asona muromo wake.
Panguva dzavaitaura kudaro, pakasvika
vamwe
mai vaiuya kuzomhan'ara nyaya yekurasa
chitupa
chavo. Mai ava vaigara paflat yaiva pedyo
nepanzvimbo pakaputikira bhazi. Paflat apa
paiva necamera aiva akatarisa pagedhe ne
mumugwagwa. Nechepa next flat paiva
nemacamera zvakare aiva akatarisa pagedhe
ne
mumugwagwa zvakare. Pavakanzwa nyaya
iyi
ichitaurwa nezvayo, mai ava vakapindwa
nepfungwa yekuti ma camera aya
angangodaro
akatora mifananidzo..
Vakamirira kuti mapurisa apedze zvaaiita
ndokuzoti,"Mangwanani, vanaMukoma?
VaDube vakapindura zvavo,"Mangwanani
Mhaiyo! Tokubatsirai nei?.
"Tiri nani. Ndanzwa muchitaura
nezvekuputika
kwakaita bhomba mubhazi. Ndakambonzwa
magadhi anorinda PA complex patinogara
achiti
akaona zvakaitika pabhazi iri pavakatora
footage. Ndinovimba kuti mukandoona
magadhi
aya achanokuratidzai footage yacho."
VaDube vakaratidza kufarira zvaitaurwa
naMai
ava,"Hamuchionazve! Vanhu vakaita semi
ndivo
vatinoda imi! Tingaenda tose here tindoona
magadhi aya?"
"Hapana chakaipa. Asi ndine nyaya
yandafambirawo,"vakadaro mai vaye.
Vakazopira yavakanga vafambira
ndokuzoenda
nemapurisa kucomplex yavaigara..
VaDube vakadeedza mamwe mapurisa
ndokuvaudza zvavakanga vanzwa. Vakaronga
kuti ivo vaendeko nemamwe mapurisa.
Vakapinda
mumotokari ndokuenda kwaigara mai vaya.
Vakasvika ndokutaura nagadhi aiva
pachijana
chemasikati.
"Eee! Zviri sei, Mukuru?"
"Tiripo makadiniwo , madzishe?"Mapurisa
akapindura.
Vapedza kukwazisana,mapurisa akatanga
kuparura nyaya yavakanga vafambira
ndokubva
gadhi audza hutungamiri hwe kambani yake.
Hutungamiri hwakabvuma kuti kutorwe
footage
yacho, mapurisa achibva atotangisa basa.
Paakanga achiona vedio ye zvakaitika,
mapurisa
aiva achiti dzvondo maziso, hana dzichirova
zviya zvekuda kuona zviri mberi. Moyo yavo
yaiti
nhasi zvazoita. Ma camera maviri epa
complex
apa ndiwo akakwanisa kubudisa zvakaitika
pabhazi iri asi haana kubudisa zvizere.
Pa video ye camera yekutamba, panobuda
bhazi
richifamba zvinyoro nyoro. Rinobva
kwechinguvana ndokuzoputika. Panobuda
hurubvu rubvu hwesimbi pamwechete
nenhengo
dzevanhu dzakasiyana siyana. Panozoonekwa
munhu(anova ini wacho) achisimuka
panzvimbo
iri chinhambwe kubva paputikira bhazi.
Munhu haaionekwa zvakanaka, nokudaro
havana
kuziva k uti aiva ani. Munhu uya akazofamba
achiratidza kuti pane zvaaitsvaga.
Akazosvika
pamwe ndokubva asimudza umwe munhu
wechikadzi uye wechidiki(anova ndiye
Shirley).
Anozunza zunza mumwe wake
ndokutenderera
achiratidza kuti pane zvaaitsvaga. Vanhu ava
vanozobva panzvimbo iyi voenda.
Yepiri yakaratidza zvimwe chete zvo asi
yakadzima pakaputika bhazi.Mapurisa
akazogadzira ma copy ema videos aya
ndokubva
vamachengeta. Vachingobuda pagedhe
repacomplex apa, VaDube vakabva vapindwa
neimwe pfungwa yaiti vaifanira kutsvaga
pamwe
pacomplex yaiva nepandakadonhera
naShirley.
Vakabva vaona complex yaiva pedyo
nenzvimbo
iyi. Vakaendapo ndokuona kuti paiva nema
camera zvakare. Vakakumbira vanoona nezve
complex iyi kuti vatore footage yemacamera.
Footage yakatorwa wanei haina zvizhinji
Zvayakanga inazvo sezvo ma camera acho
akanga akatarisa mativi asiri iwo.Vakazobva
havo panzvimbo iyi ndokudzokera zvavo
kukamba.
Nyaya yangu iyi yakanga yatemesa musoro
kune
vose vari mairi. Tikatarisa mativi tinoona kuti
pakanga pasina chakanaka kuvanhu vese
pamwe
chete neni.
Ukuwo VaNdlovu vaitotyira divi ravo kuti
musungo waizodamburwa negava rimwe
zuva.
"Jackson uyu zvaava kurwadziwa kudai
haazonditengesi here uyu? SAKA
NDICHAITA
SEI kana akazondititengesa kuvamwe vedu?
Ndingazonyarirepi chokwadi? Ndinofanira
kuona
zvekuita achiri mangwanani kwete kumirira
kuti
chibvondoke. Akangouya chete, ndinofanira
kuona zvekuita naye," ava ndivaNdlovu
vaipiringishana nepfungwa vagere zvavo
patafura. Murume uyu akanga ava kutoona
kuti
nyaya dzakaitika idzi hadzisi kuda kuregwa
nemapurisa. Vakaona kuti vakangopeta
maoko
chete vakangotarisa, zvinhu zvaizovaipira.
VaNdlovu vakatoronga zano ravo nechimbi
chimbi kuitira kuti pandaizodzoka kubva
kwandakanga ndapambwa nemhondi vabve
vandibata. Vakaronga kuzondibata
vondisungirira ibwe muhuro vobva
vandikandira
mumvura..
"Mhamha! Tiyi kuha zhedu shaja iyi ashi
baba
havana kuha. Mavashiyiyawo heye? Chinguyi
vakapejishiya kuma tii mushi uya," iri raiva
gotwe rangu ,Rose achiudza mai
vake( vanova
ndivo mudzimai wangu) pavaidya sadza
remanheru. Akanga achiti,"MHAMHA! TIRI
KUDYA ZVEDU SADZA ASI BABA HAVANA
KUDYA. MAVASIYIRAWO HERE?
CHINGURI
VAKAPEDZISIRA KUNWA TII MUSI UYA.
Rose
rakanga riri gotwe rangu. Dangwe raiva
mukomana, Jackson Junior, achiteverwa na
Chrysanthemum. Jackson Junior na
Chrysanthemum vakanga vatova kuchikoro
chePrimary,akawo, Rose kaiva ku Creche.
Mai J.J.(ndiko kuti Jackson Junior
muchidimbu)
pavakanzwa mashoko aitaurwa naRose
vakambomira kutsenga sadza raiva
mumukanwa
ndokumutarisa. Mashoko aya akavapa
ndangariro dzakadzika kusvikira pahuro pavo
paita sekuti pava nezidombo raivatadzisa
kumedza sadza. J.J. naChryie vakabva
vazviona
kuti pana mai vavo pakanga pasina kumira
mushe. Vakambotarisa ndokubva vaenderera
mberi nekudya sadza. Pana Rose pakanga
pasina
zvaizivikanwa. Yakanga iri mhute zvayo kana
kuti
husiku hutatu hwakabatanidzwa pamwe.
Mai J.J. vakasimuka vakabata mbozhanhare
vachiita sekuti vaida kufona ndokuenda
muimba
yekurara. Vakasvika vakazvivharira imomo
ndokutanga kuchema chinyararire. Pfungwa
dzaivabaya moyo dzaiva dzekuti ndakanga
ndavakanganwa pachokwadi. Zvese
zvinodiwa
mukurarama zvakanga zviripo, vakanga vane
motokari mbiri dzerudzi rwuri naniwo,
TOYOTA
ETIOS nePEUGEOT 707. Asika zvinhu zvese
izvi
hazvisi rudo. Ndakakanga ndarwadzisa umwe
wangu nekudisa mari..
Mai J.J vakazozvinyaradza havo vachiti
mwari
ndivo vanoziva. Vakazoenda havo
kundorongedza
ndiro ndokubva vaenda kundorara.
Ini naStacey zvatakazobuda
muninga.............................
END OF CHAPTER 19

CHAPTER 20.

Ini naStacey zvatakazobuda muninga,


takanga
taneta uye takanga tisisazive chinonzi kugeza.
Kwakanga kune makore matema-tema ayo
airatidza kuti kwaizonaya panguva pfupi
yaitevera.Kwakanga kwava kutaridza kuti
kwakanga kwovira sezvo rima rakanga
rotanga.
Takatanga kufamba tichitsvaga divi rekubuda
naro kwakanga kusina vanhu. Taitya
kuonekwa
nevanhu nekuda kwezvimiro zvatakanga
tizvo.
Hwema hwekusageza ,hembe dzakasviba uye
mavanga ndizvo zvimiro zvaiita kuti titye
kuonekwa nevanhu. Takabva paiva nemirwi
dzesimbi dze scrap dziye ndokunanga kwaiva
negedhe.
Pagedhe apa paiva neairinda asi aizaziva
nezvekuti taiva takapambwa. Takanyahwaira
tiri
kuseri kwesimbi idzo hana dzichiridza ngoma
chaidzo. Tichiri kunyahwaira
kudaro,kwakabva
kwauya motokari yaida kubuda mu scrapyard
umu ichibva kuburutsa simbi. Takamhanya
ndokuvanda seri kwe simbi. Motokari iya
yakabva yamira pataiva tiri chaipo
ndikufungidzira kuti takanga
taonekwa.Chakanetsa ndechekuti taisaziva
kuti
yaiva ye matsotsi here kana kuti yaiva
yevanhu
vakauya kuzotengesa simbi..
Mutyairi akabuda mumotokari
ndokutenderera
achitarisa mavhiri. Ndinofunga kuti
aitotarisa
zvake kuti mavhiri aiva nemweya wakakwana
here. Akazodzokera mumotokari. Ini
ndakabva
ndafunga zano nekukurumidza.
"Stacey. Hande tindopinda kumashure
kwemotokari iyo. Havangambotioni nokuti
kwasviba. Tikanonoka tinovharirwa muno.
Tarira! Ndiyo motokari
yekupedzisira,"ndakadaro ndichiudza Stacey.
Ndakabva ndamubata ruoko ndokumhanyira
kumotokari ndokusvikobata kumashure
kwayo
seshoko dzakabata matavi. Mvura yakabva
yatanga kunaya.Motokari yakasvika pageghi
ndokumira sezvo gadhi wepagedhi aifanira
kusecha mumotokari. Apa ndipo patakatanga
kutya tichiti ndipo pataizobatirwa.
Takakurumidza kudzika pasi ndokuedza
kuzvidzikamisa, ndokufamba takananga
pagedhe.
"Ko imi ndimi ani muri kufamba netsoka?"
Hembe dzakabvaruka , mavanga.........
Haaaaaaa! Mapinda muno
muchidei?"ndigadhi
aibvunza achiratidza kushamisika nezvimiro
zvataiva.
"Vakuru muri kutaura zvenyu zvamunoda asi
tarirai kuti tiri kunayiwa. Madii mativhurira
taenda kumba kwedu. Hatina chataba isu."
ndakapindura zviya zvekubudisa mashoko
usina
kufunga. Kwaitova kubvotomoka chaiko.
"Imi,Officer! Tikurumidzireiwo kani!
Mungaswerotaura nevanhu avo isu tiri isu
tatanga kusvika pagedhe here? Sechai
mutivhurire gedhe mhani imi!"mutyairi
wemotokari akadaro atsamwa nekuti akanga
anonokerwa.
" Imi chimbomirai ipapo ndimbopedzerana
nevemotokari avo. Ndoda kuziva kuti ndimi
ani
imi,"akadaro gadhi achitaura nesu..
Gadhi akaenda kundosecha motokari iya. Ini
ndakabva ndazevezera munzeve dzaStacey
ndichimuudza kuti kana gadhi paaizovhura
gedhi,
isu taifainira kutiza. Stacey akagutsirira
musoro
kuratidza kuti aibvumirana
nezvandaimuudza.
Gedhe rakati richivhurwa ndokurova bara
tichibuda muscrapyard umu. Stacey
akatsvedza
nekuda kwemadhaka akanga avako ndokubva
ndamusimudza totiza ndakamubata ruoko.
Vanhu
vaiva mumota negadhi vakangoti kanha
nazvo
ndokutisiya.
Tichangoti mhanyemhanye, takakabva
tasangana
nemotokari yaBiggie,uyo aitobva kumadhiri
ake.
Akashaya kuti taimbotizei sezvo haaiziva kuti
tisu
takanga tapambwa navaBotaremwana sezvo
akanga ashanya kwemazuva akati wandei..
"Ko vanhu ava vari kumbobvepi kuchinaya
kudai? Vamwe vanhu so. Vakarohwa nemheni
vakafa ndipo pavazoti vakaroyiwa izvo
zvimwe
zvinongodawo kuti uzvichengetedze,"ndi
mudhara
Biggie aitaura nechemumoyo.
Akatyaira motokari ndokusvika pagedhe repa
scrapyard paye ndokusvikovhurirwa nagadhi
achibva apinda mukati.
" Boss! Pane vanhu vaviri vabuda muno
ndokubva vatiza asi handina kupinda
kwavaita
muno."akadaro gadhi. Iyiwo motokari
yevanhu
vaya yakanga yaenda.
"Ko vanaBotaremwana varipi?"
"Vachirimo mukati. Pamwe ndivo
vachangopedzerana nemotokari yabuda iyo."
akapindura gadhi.Biggie akazosimudza
motokari
achienda kuimba yavaiita madhiri
navanaBotaremwana asati aenda kuninga..
Hongu. Takanga tabudirira zvedu kubuda
munhamo iyi asi hatina kuziva kuti kwaiva
kuchiri nedzimwe dzakanga dzakatimirira.
Imwe
nhamo yacho taitova mairi inova yekurohwa
nemvura. Takanayiwa tikademba rugare apa
kwakanga kwasviba. Mvura yacho
yaitonhora
zvakare. Takatanga kudedera nacho chando
asi
hapana zvataikwanisa kuita.
Zvataifamba kudaro, taisaziva kwataienda
nekuda kwemhindo. Zvataiva munzvimbo iyi,
taizivei kuti taiva tiri kure neJoburg.Taitova
ku
Krugersdorp, veduwee. Nhamo yaiva apa
yaiva
yekuti tiwane nzira ye kuenda kumusha apa
foni
dzakanguri dzapera moto, kwainaya uye
kwakanga kwavira. Takafamba murima
tichifamba. Dzimwe dzenguva taimbobuda
munzira taizoona nzira kana kuchinge
kwapenya.
Stacey akanga akochekera ruoko rwake
muhuro
mangu. Aizodiiwo isu taiva panguva yakaoma
kudai.
Tichifamba kudaro, takabva taona pamwe
pamba
paigara mumwe murume nemukadzi wake.
"Stacey. Tadii tatsaukira pamba apo
tikumbire
pekurara. Tarira hatisi kuziva kwatiri kuenda.
Tozomuka tichienderera mberi nerwendo
rwedu."ndakataura mashoko aya kuna
Stacey.
" Taura hako, Jackie. Ndaneta
neku.................
Mhai kani!"Stacey haana kuzopedzisa
zvaaida
kutaura sezvo kwakabva kwarova zimupande
raitsemura hana chaiko. Akayawira
achindimbundira ipapo.
Nhamo yakaipa veduwee. Vanhu
vaimbonyarana
vakanga voita sevanodanana panguva iyi. Ini
handaida kutora mukana wekuti taiva
panguva
yakadai. Ndakangomuregawo akadaro.
Ndaizodiiwo iye aivimba neni. Ndaitofanira
kumuratidza chengetedzo yangu kwaari
kusvikira
tasvika kudzimba dzedu..
Takatsaukira pamba paya. Pakanga pane
imba
imwe chete yaiva nemakamuri maviri chete.
Imba
iyi yairatidza kuti yaiva yenguva yaF.W.
Botha
paaitungamirira nyika yeSouth Africa.
Muchidimbu tingangoti South Africa isati
yazvitonga kuzere. Pamakamuri maviri eimba
iyi,
rimwe raiva Pekurara, rimwe raiva
rekubikira.
"Gogogoi! Gogogoi!"ndiStacey aigogodza.
Takaronga izvi sezvo takanga taona kuti
hataizobudirira kana ndaizogogodza ndiri
ini.
Vaitozoti tiri matsotsi chete.
Sezvineiwo, pamusuwo pakabva pavhurwa.
Pakabva pabuda mudzimai wechikuru
airatidza
kuti aitikurira nemakore anokarosvika gumi
chaiwo. Akanga abata ndokutivheneka
achida
kunyatsotiona sezvo kwaiva nemhindo yaiita
seyaibatika nemaoko. Ko taizivei kuti maitova
musango zvamo. Imba iyi yaiva yakasiyiwa
zvayo
kare kare nevarwi verusununguko .
"Ko tingakubatsirai nei?"amai vaya
vakabvunza.
"Tinokumbirawo pekurara, mhamha.
Tavirirwawo nezuva," Stacey akakurumidza
kupindura.
Ndakatoona akanga agona apa sezvo dzimwe
nguva vakadzi vanokurumidza kunzwisisana.
Vangatovengana ndevari pachipari kana kuti
vakatorerana murume..
"Ko muri kubvepi nekunonaya kuda?"uyu
mubvunzo wakatinetsa kupindura sezvo
taisaziva
kuti zvekupindura pakati pechokwadi kana
nhema. Ndakatozoona kuti kana taizononoka
kupa mhinduro, taizoigochera pautsi tobva
tanyimwa pekurara.
"Takapambwa nematsotsi pamazuva
mashoma
apfuura aya. Vakatitora vakaenda nesu
vachida
kutiuraya saka tapunyuka
ndokutiza."ndakapindura.
Mukadzi uya akadzokera mukamuri mavaiva
ndokutaurira nemurume wake nezvenyaya iyi.
Takazonzwa murume oti kumukadzi wake,"
Zvino
matsotsi acho akazovatevera haazosviki pano
isu
tikaomeserwawo here?"
"Vanzwireiwo tsitsi, baba vevana. Ari
semukadzi
wacho ari kudedera nechando."
"Zvakanaka. Chivaudza vapinde," akadaro
murume wepamba apa.
Tichinzwa mashoko aya takafara zvikuru
sezvo
kunze kwaisava kutsvene. Takapinda
mukamuri
mavaiva tikasvikogara pasi. Murume
nemukadzi
wake vaiva nevana vaviri. Vanhu ava
vaitodziya
nekubikisa nemoto wehuni chaiwo. Vakanga
votopedza kudya kwemanheru. Vakagadza
poto
ndokubva vatibikirawo kwedu. Sadza
nenyama
zvakaibva zvikapakurwa. Zvakagadzikwa
mudariro ndokutanga kudya.
Takadya semombe dzabva kusina mafuro
manyoro ,zvechokwadi. Taizodiiwo isu
takanga
tapedza mazuva akati kuti tisange sadza.
Chero
hubhozida hwakanga hwapera panguva iyi.
Ndaiti ndikatarisa Stacey ndaimunzwira tsitsi
veduwee. Chimiro chaiyevedza chiye
chakanga
chapera. Chaiva apa ndechekutamba ngoma
yairira.
Takapedza kudya tikageza maoko
ndokuombera.
"Isu tava kuenda kundorara. Imi mucharara
muno. Pano hatina makumbeze akawanda.
Tichakupai gumbeze rimwe. Movata
muchikuchidzira moto kuti
mudziirwe,"akadaro
mukadzi wepamba achitambidza Stacey
gumbeze
rataizofuga.
Hatina zvedu kuita hanya nezvakawanda,
takabva
taombera ndokubva vabuda vachienda
kukamuri
ravo rekurara.
Takawaridza kamhasa kaivamo kaisiya
makumbo
pasi kana wakatandavara. Asika yakanga
isiri
nguva yekugarika mhani. Takapinda
mugumbeze
ndokurara. Ndakazopepuka pakati peusiku
wanei
Stacey akanga akambundira zviya
zvekutsvaga
kudziyirwa. Apa ndipo pakazoita muedzo
chokwadi. Ndakambopindwa nepfungwa
yekuti
ndimubvise maoko asi ndakakonewa. Usiku
uhu
ndihwo hwandakazotadza kuzvibata ndokuita
chitema. Stacey haana kumboita nharo zvake.
Ndakabva ndaziva kuti chaiva chipembenene
chapinda munzeve yemwana chawaridza
bonde
nechekare.
"SAKA NDICHAITA SEI kana mwana
akazobata
pamuviri? Zvimwe zvimiro zveupenyu
zvinoita
kuti uende pane chidanho
chawaisambotarisira
kuenda pachiri. Hanzi mbambaira iri muvhu
inokura zvichienderana nekuti iri paivhu
rakadii.
Takazorara kusvikira kwaedza........
Shirley zvaakabvawo kumba kwaLloyd
mushure
mekunge afenda, akasvika kumba
ndokuvhura
gedhi. Akaisa mudhudhudhu mugaraji
ndokupinda mukamuri yekutandarira.
Akasvikozvidonhedza pasofa ndokutanga
kuchema. Chaimurwadza ndechekuti sei
Lloyd
ainge ati vadanane ozomuudza zvainge
zvaitika
kwandiri.
Akatanga kuvenga Lloyd sezvo aiva aona kuti
Lloyd aisaita hanya nemunhu akanga
amuraramisa asi kuti chaaingoda
panaShirley
rudo chete. Shirley akazozviudza kuti vanhu
vakaita saLloyd ndivo vanozokutiza kana
wapinda pakaipa. Akanyatsoona kuti
haaifanira
kupaparika sehwiza yakazozvigocha pachoto
yadzimaidzwa nechiedza chawo..
Achiri pakufunga kudaro, Shirley akabva
abatwa
nehope. Akaona agere namai vake pasofa
vakamubata pafudzi. Kunyangwe zvazvo
pakanga
pava nenguva kubva musi wakafa mai vake,
hadzina kumutyisa hope idzi. Muchidimbu
tingangodudzira tichiti AKASHANYIRWA
NAMAI
VAKE MURUNYARARO. Ehe ka, kana hope
dzichityisa inenge iri hondo chaiyo..
"Mwanangu,Shirley.
Ndine urombo kuti ndakatorwa nenguva,
Iwe uchada kurerwa neni.
Yangu shuviro yaiva yekuti ukure zvakanaka
uye
nemufaro,
Asi zvakakona n'anga ,
Murapwa achida.
Yakatodeuka mvura,
Haichadyoreke.
Kanyangwe zvimiro zvakamira sezvizvi
,mwanangu,
Hakusi kuguma kweupenyu.
Sarudza gwara kwaro,
Risingazokupinze muna taisireva.
Uchaona zvakawanda muupenyu,
Uye uchazopupurirwo avo vachazokura.
Zvichauya sezviri kudururwa kubva
Munhava yebenzi chaiyo.
Zvinenge zvoda ungwaru
Hune unyanzvi.
Dyara mbeu yeungwaru,
Mudehenya rako.
Sarudza zvakanaka,
Zvakaipa usiye
Imbwa dzinongere.
Mhandu yemunhu munhu,
Ndizvozvo unofanira kungwara senyoka.
Inoti kana ichipinda mumwena ,
Haingopinze musoro chete yobva yapinda
zvachose.
Inopinza musoro kuti ikwanise kupinza muviri
wayo,
Yozokurumidza kubudisa musoro.
Uku ichipinza muswe,
Nokuti inoziva kuti kune vavengi.
Vamwe vachauya semakwai,
Mumyo mavo ari mapere anoparadza.
Vamwe vachauya vari vanaMubairazanhi,
Mumoyo vari vanaMunyengeri.
Paunotadza vanoshambadza,
Pawagona vonyomba.
Ndivo vanotanga zvakare,
Kutora pembe,ngoma nehosho.
Voita mhemberero,
Dzekutadza kana kuwirwa kwaunenge
waitwa
nechakaipa.
Paugere ipapo uzive kuti,
Mangwanani kunomuka kune dova.
Rozonyangarika munguva yerudziyakamwe.
Naizvozvo uchenjerese kuti,
Pachaenda dova parege kuva
Pachanyangarikawo mufaro wako.
Chenjera vanaManakirakure segomo,
Rinoti kana riri kure,
Unoriona kuti chechetere.
Svika pedyo naro uone,
Rizere matombo nemakomba.
Dzimwe nzvimbo dzaro hadzifambike.
Usakanganwe...............................,"Shirley
akabva
amuka paainzwa mashoko aya kuhope.
Izvi zvakamu....................
END OF CHAPTER 20.
CHAPTER 21.

Shirley akabva amuka paainzwa mashoko


kuhope. Izvi zvakamunetsa mupfungwa dzake.
Akatanga kuyeuka mazuva aakanga ana mai
ne
hanzvadzi yake ndokuona kuti upenyu
hwakanga
hwasiyana.
"Nhai Mwari. Ko ndichazofara wo
riini,chokwadi? Ndicharamba ndiri
wekuchema
kusvikira riini? Ndakatorerwa mai.
Ndakatorerwa hanzvadzi yangu. Baba
vakanguri
vatisiya kare. Ndoonawo munhu
aizondichengeta,
onyangarika zvakare. SAKA NDICHAITA
SEI?
Ndava kushanyirwa namai vangu kuhope. Ko
zvakwava kumutsidzira mavanga anga opora.
Handingamutongeri hangu asi zvimwe
pindiraiwo, nhai Mwari. Ko ndakatadzei
zvomondirwadzisawo kudai? Kudai mukoma
Jackson vadzoka zvavo, zvimwe
vaizondivaraidzawo.".
Mwana akachema zvakasiririsa , musi uyu.
Chero
kubika zvekudya haana kubika musi uyu.
Akasimuka ndokunanga mukamuri rangu
rekurarira. Achingoti pindikiti, akati ba
pamufananidzo wangu wanga wakanamirwa
pamadziro. Mufananidzo uyu waiva
muhombe
uye ndainyatsoonekwa. Ndanga ndakamira
paAUDI yandaiva nayo isati yapiswa
nematsotsi.
Ndaiva ndakapfeka sutu yangu yaindigara
uye
pandaiipfeka ndaibva ndaita sa gunguwo
chaiye.
Akaturura mufananidzo uya ndokuubatira
mumaoko achibva agara pamubhedha
wangu.
Akabva atsikitsira chiso chake chakagumha
pamufananidzo uyu. Misodzi yakatanga
kuerera
pa girazi raiva rakavharira mufananidzo uyu.
Akazonzwa hope ndokurara mukamuri
mangu..
~~~~~~~~~
"Ko nhai ,mukwasha! Ko kwakanaka here?
Taona maunganirwa nemapurisa panguva
yapfuura iyi," ndeumwe mukadzi wechikuru
ainzi
Mai Muchakanya. Mudzimai uyu aiva oda
kubuda pagedhe nemotokari yake achida
kuenda
ku supermarket yaiva pacomplex pavaigara.
Pacomplex apa ndipo pakanga pauya
mapurisa
kuzoferefeta nyaya yekuputika kwebhazi.
"Kwakanaka Amai. Vanga vauya kuzotsvaga
humbowo hwekuputika kwebhazi rakaputikira
apo. Handiti muchiri kurangarira? Gadhi
akadaro.
" Aaaah! Nhai mukwasha! Ndingatadza nei
kurangarira zvandakaona nemeso angu aya."
"Muri kureveiko imi? Makanyatsoona
pazvakangira kusvikira pakupera kwazvo
here?"
Ndigadhi akabvunza achipuruzira chirebvu
chake
icho chaiva chisina kana kandebve zvako.
Mai Muchakanya vakabva
vapindura,"Mutsindo
wekuputika kwebhazi riya kwakandimutsa
ndiri
kuhope. Kamuri rangu rekurara ndiro iro
rine
fafitera ramunoona iro. Pandakapepuka
ndakabva ndavhura chidzitiro chefafitera iri
kuti
ndione chaitora nzvimbo. Bhazi rakanga
robvira
uye zvaitaridza kuti zvimwe zvimedu zvebhazi
nenhengo dzevanhu zvakanga zvangova pese
pese.
Pasina nguva refu, ndakaona mumwe
murume
akasimuka kubva paaiva adonhera.
Zvakandishamisa kuona munhu achimuka
pabhazi rakanga raparara zvakadaro.
Murume
uya akabva atenderera achiita sekuti
pazvaaitsva.
Zvichakadaro, ndakaona osimidza mumwe
munhu
aiita semusikana wechidiki. Akabva amumisa
ndokubvisa guruva. Zvaiita sekuti pane
zvavaitaura ndokutenderera zvakare
vachitsvaga
zvavatsvaga. Vakazotorana ndokubva vaenda
nedivi iri."
"Imi mune humwe humbowo. Tadii tafonera
tovaudza kuti mune zvamaokawo? Vairatidza
kushushikana nekushaiwa humbowo panyaya
iyi,"uyu ndigadhi uyu.
Gadhi akabva afonera kukamba. Foni
yakabva
yadavirwa naVaLewis Ndlovu vaiva ndivo
vaindituma mabasa ehuipi. Avawo VaDube
vakanga vambobuda panze kumbofurwa
nemhepo..
VaNdlovu vakaudzwa zvose zvakanga
zvataurwa
naMai Musakanya pfungwa dzavo ndokubva
vatoziva kuti ndini aitaurwa nezvake. Vachiri
kutaura kudaro, VaDube vakabva vati
pindikiti.
Foni yakazodimburwa zvayo asi VaNdlovu
vaisada kuzivisa VaDube. Vaiziva kuti nyaya
iyi
yaizovasiya pachena nokudaro, vakabva
vawedzera kundivenga chaiko.
"Ko ndiani wamaitaura naye, Captain?"
VaDube
vakabvunza VaNdlovu.
VaNdlovu vakada kumbonyepa sezvo
vaifungidzira kuti VaDube vaiva vasina
kunzwa
hurukuro yavo.
"Handina kunzwisisa kuti munhu wacho
aitaura
nezvei. Zvakare masaisai e foni ainetsa."
VaDube vakazviona zvavo kuti vatambwa
yatsuro
nagudo ndokubva vanyarara zvavo.
Vakangoti
*rine manyanga hariputirwe murushunje*
uye
*chisi hachieri musi wacharimwa*. Vakazoti
*chine manenji hachifambi, chinomirira kuti
mavara acho aonekwe*..
VaNdlovu vakada kuedza kurasisa VaDube
izvo
pavakafonerana nagadhi wepa complex paya,
VaDube vakabata manzwi anoti *"URI
GADHI
WEPA COMPLEX PATAKABVA PAYA
HERE?"* VaDube vakabva vafunga
zvekuenda
pacomplex iyi chinyararire. Zvakare vaida
kuendako zvechivande, pasina aiziva kuti
ndiko
vakanga vaenda.
Vakaenderera mberi nebasa ravo semazuva
ese.
Kuzoti nguva dzoenda pa awa reshanu
remanheru(5pm) vakaudza mamwe mapurisa
vachiti musoro wavo wairwadza. Nokudaro,
vaida kuenda kuchipatara. Vice Station
Commander ava vapinda mumotokari yavo
ndokuenda kundoona gadhi wepaGlenwood
Complex. Nenguva isipi vakanga vatovapo
ndokuwana gadhi oda kuchaisa.
"Maswera sei , Officer? Ndini ndakufonerai.
Pana mai vati vakaona zvakaitika pabhazi
riya
rakaputika."
"Ndiri nani. Ko mai vacho varipi
vanditsangurirewo zvavakaona
zvacho."VaDube
vakadaro vachirova-rova nguwani yataiva
vakapfeka nechinyoreso. Gadhi akabva
ataura
naMai Musakanya pa Intercom ndokubva
vauya
kwavaidiwa. Vakabvunzwa mibvunzo
yakawanda
vachipindura.
"Ndanzwa muchiti vanhu vaviri vakamuka
vakaenda vainyatsoonekwa nekuda kwemoto
waipfuta, mukavaona mungavaziva here?"
Umwe
wemibvunzo dzakabvunzwa na station
commander ava.
"Ehe. Zvimiro zvavo ndichiri kuzviyeuka."
Vakakadaro Mai Musakanya.
Vehama! Nyaya iyi yakanga yoramba
ichioma
zuva nezuva. Handaimbofunga kuti pane
zvakaitika pabhazi pacho pane aitotiona
zvedu.
Mativi ose akanga ava kupisa zvishoma
nezvishoma. Ukuwo mamwe mapurisa
achinetsekana nenyaya iyi. Kunyangwe
zvazvo
vainge voferefeta vemene nokuda kwekuti
takanga tapambwa, vakanga vasina unyanzvi
sehwaiva naStacey. Handingatauri nezvangu
nekuti ndini umwe wevaiva munyaya iyi.
VaDube vakazopedzisa nhaurirano yavo
nekuti
vaizodaidza Mai Musakanya chero nguva
kana
vaizovada kukamba. Vakawoneka ndokubva
vaenda kumba kwavo.
~~~~~~~~~~
Machongwe akanga orira. Airara panze
akanga
atomira pamusoro pedzimba achizvirova
nekuzhama pamwe. Mvura yakanga
yambomira
kunaya uye kwaiva nekamhepo kaifefetera.
Ndakapepuka zvangu ndagumbatira Stacey.
Stacey akanga akaturika ruoko rwake
pambabvu
dzangu. Kubva paaiva nepandaiva yaiva
*zero
centimeters apart* chaiyo. Ndakatanga
kugaya
nezverwendo rwedu rwekudzokera kumusha..
Ndakazoona zvakanaka kuti tikurumidze
kufamba
nekuti pamwe takanga totsvagwa na mudhara
Biggie.
"Stacey! Stacey! Stacey, iwe!"ndini
ndaimutsa
Stacey panguva iyi.
"Hhhhhummm!"akadavira Stacey zvake
achishama ny'ai. Akavhura maziso ake
seaizeza
kutarisa chiedza chinotisvora.
" Ngatigadzirire tienda mudiwa. Tarira,
kwachena uku."
Hahahaha! Ndakazvishayawo kuti inzwi
rekuti
*mudiwa* rakabuda sei mumuromo mangu..
Stacey aitoratidza kuneta zvake uye sekuti
aisada
kumuka.
"Stacey! Yeuka kuti takasiya tanyadza
kumashure
uko. Tikaonekwa hatirarami. Ngatiwoneke
tiende."
Takamuka ndokumutsira nekuti nekutenda
varidzi
vepamba apa kutichengeta kwavakaita.
Takazooneka ndokupinda munzira.
"Nhai Jackson! Ko zvatakanganwa kubvunza
kuti
tiri kupi, ndiko here kwatiri kuenda?Stacey
akabvunza.
" Hande! Tozobvunza tava mberi."
Takafamba mitunhu yakati kuti tiri musango
tichingonzwa shiri kurira. Hataikwanisa
kufambisa sezvo dzimwe nzvimbo dzaiva
memadhaka.Tichiti fambe fambe takabva
tanzwa
mutinhimira nechekumavirira kwedu.
Kutinhira
uku kwainzwika kuti kwaiva nemugwagwa
wemotokari. Ndakaudza Stacey kuti tibve
taenda
ikoko tozoona kuti taikwanisa kutsvaga lift.
Takafamba tikasvika kumugwagwa uya.
Takaedza
kumisa mataxi apa taiva tisina kana cent
zvaro.
Takaramba tichiedza kusvikira tawana imwe
motokari yaisvika muMtn Taxi Rank
muJohannesburg. Takataurira kuti raizoita
payforward
uye muripo wacho waizopetwa rushanu.
Ndakabvumirana nazvo sezvo ndaiziva kuti
ndaiva nemari mubhangi. Chaishota apa
raiva
card rebank iro rakasara mumotokari yangu
kukamba..
Takapinda mu taxi ndokubva taenda. Tiri taxi
kudaro, taitonyatsoona kuti taiva
mazambiringa
munyemba chaiwo. Ndebvu dzangu dzanga
dzareba. Maziso aisagezwa. Hembe dzakanga
dzava marengenya kana kuti madhumbu.
Vhudzi
raStace raiva rakati nyangara. Aisafarira
kuisa
ma braids mumusoro make. Aiva ne *natural
hair*. Mwana aimbopenya senyeredza uya
akanga ava munhuwo zvake. Ihwo hwema,
takanga kunhuhwa vanhu chaivo. Hahahaha!
Kuseka nhamo serugare.
Tichisvika muJoburg, muridzi we taxi akatipa
umwe munhu watakazoenda naye kumba
kwedu.
Stacey akabva ati aiva nemari kumba kwake
ndokubva tananga kumba kwake
chaiko.Stacey
akazobva ati apinde achitora ma keys
mumotokari yake kukamba. Ini ndakabva
ndaburukira munzira kuti vataishanda navo
varege kuti kundiona.
Stacey achiti pindikiti pakamba yemapurisa,
ma
officers ese akangoti dzvondo maziso sevaona
chipoko masikati. Hapana kutaura nevamwe,
akangonanga ku office kwataichengeta
zvinyorwa
zvekuferefeta nyaya dzataiferefeta ndokutora
makeys emotokari. Akavhura motokari
ndokutora
makeys emba. VaDube vakamudaidza
ndokuendako.
"Detective Agent Sibanda! Welcome back."
Are
you Ok? Ko Detective Agent Sithole varipi?"
VaDube vaingopfura Stacey nemibvunzo
vasingape Stacey mukana wekupindura.
"Tadzoka ,Boss. Regai ndimbopedzerana
nevatibatsira ne transport. Uye
tinokumbirawo
nguva yekuzorora tozoona zvekuita. Tarirai
chimiro chandiri hachina kumira mushe."
ndiStacey uyu.
"Ok. Its fine, Detective Agent. Take care!"
Stacey akasiya mapurisa ose akashama
muromo
sedzichapindwa nenhunzi. Akapinda
mumotokari
yake ,izvo zvakatozoshamisa vakanga
vavabatsira
ne lift. Vaifunga kuti taiva marombe zvawo,
vanaMupinyiwatyoka.Vakasvika pandakanga
ndasara ndokubva ndakwira mumotokari
yaStacey. Stacey akasimudza motokari ndiye
hutu, iyiwo yatakanga tabva nayo ichitevera
mumashure. Takati tasvika, Stacey akazarura
gedhe ne *remote* ndokupinda muchivanze.
Takaburuka iye ndokuzozarura gonhi remba
achibva andotora mari yaidiwa. Akatambidza
mutyairi wemotokari iya ndiye hutu kuenda.
Takasara ndokupinda mukamuri
yekutandarira
ndokugara pasofa. Akazosimuka ndokuenda
kundotora matauro ekugezesa achibva aenda
kundogeza. Akati apedza, ndakabva ndaenda
kundogeza. Ndichipedzawo ndakabva
ndaudza
Stacey kuti ndaida kumborara mu spare room
yake.
"Ngatipinde zvedu umu tirare ndava kutya
kurara
ndega ini. Tingangodaro tichiteverwa
izvozvo."
akapindura mwanasikana.
Handina kuita nharo nekuti hope
dzandainzwa
dzaisada kuwanza munamato. Takaenda
kundorara. Tiri pamubhedha kudaro Stacey
akatanga kuchema.
"Ko chii nhai , Stacey? Tadii kumborara,
wozofunga zvakawanda kana tamuka. Tarira!
takaneta shaa. Akazoswedera pandaiva
ndokurara zve *zero centimeters apart*
chaiyo.
Ndiri muhope , ndakarota munhu uya aiva
nechiso chaipenya. Munhu uyu ndiye
wandakarota pandafemeswa mushonga
nematsotsi musi watakapambwa uya.
"Jackson Sithole! Uri kuona here mubairo
wevanorarama nemabasa erima? Chenjera
kupinzwa mugango nevanhu vasina hunhu.
Rwendo rwuchipo , harwusati rwaguma.
Ndinovimba kuti parwuchapera uchawana
dzidzo
yausingazombokanganwe. Ndokunge usina
kufuga rako wega." munhu uya akadaro.
Ndakabva ndapindura ndiri muhope
kudaro,"Changamire! Kudai mukombe uyu
wapfuura zvawo. Zvazondi....................."
"Jackson! Jackson! Ko chii?"ndiStacey
aindimutsa uyu. Handaiziva kuti
zvandaitaura
muhope ndaitoburitsa manzwi
chaiwo.Ndakapepuka ndokuona kuti ndairota
zveshuwa.
"Ko chii nhai, Jackson? Ndiudzewo
shaa."akadaro Stacey.
"Ndairota."ndakapindura ndichipukuta
kumeso
nemaoko.
Ndakanga ndisingade kuudza Stacey
zvandakanga ndarota nokudaro ndakaita
sendiri
kutambudzwa nehope ndokudzokorora
kurara.
~~~~~~~~~~
Mudhara Biggie zvaakazotyaira motokari
achienda kuhofisi yake yepa *Scrapyard*,
akati
achiburuka mumotokari, magetsi akabva
aenda.
Magetsi akanga aenda sezvo kwakaita
mupande
umwe wakarova seuchatsemura hana
dzevanhu.
Akabva .................
END OF CHAPTER 21.

CHAPTER 22.

Mudhara Biggie zvaakazotyaira motokari


yake
achienda kuhofisi yake yepa *scrapyard*.
Akati
achiburuka mumotokari magetsi akabva
aenda.
Magetsi akanga aenda sezvo kwakaita umwe
mupande wakarova seuchatsemura hana
dzevanhu. Akabva atora mwenje( *torch* )
mumotokari make ndokuvhura gonhi
achipinda
muhofisi make. Akabva adzokera kumotokari
ndokutora zvinhu zvaiva ku bhutu
ndokuzviisa
muhofisi.
Mvura yakanga yadzikira kunaya panguva
iyi.
Akabva abuda muhofisi ndokunanga kuimba
yaishandiswa navanaBotaremwana sehofisi
yavowo iyo yagara zvombo nemidziyo
yaishandiswa panhubu hwavaiita. Akasvika
ndokuwana musuwo wakavhurwa zvairatidza
kuti
vamwe vake vaisava kure.
"Ko vanhu ava varipi ko nhai? Zvinhu zvose
zvakangoti nyangara. Hamuna kurongedzwa
zvakanaka. Vakomana vava kundijairira ava.
Ivo
varipi? ....... Vakandifonera vachiti vanhu
vaye
vavabata ndikavaudza kuti tozoona zvekuita
navo
ndichinge ndauya. Munoti hakusi iko kwavari
ikoko? Regai ndiende ko. Ndokupedzerana
navo
nhasi."ndi mudhara Biggie vaingogunun'una
panguva iyi vachikanda nhanho vachienda
kuninga.
" *Oh! Damn it!*"aya mashoko akabuda
mumuromo maBiggie paakati baa kuona
zvaiva
mumeso ake. Akanga angobata muromo
zvisina
mukuru akambozviita kana kuona. Akamboda
kuti
airota ndokuzvitsunya ndokurwadziwa.
Ko ndechipi chimiro chaakanga aona
paninga
apa?
Biggie akasvika paninga ndokuvheneka
pamusuwo. Akaona musuwo wakazaruka ,
apa
ninga yakanga yakati shutu kuzara nemvura.
Mvura yakanga yaerera ichipinda umu sezvo
ninga yaigadziriswa kuti mvura isapinda
paivharwa gonhi. Afambisa-fambisa mwenje
kuti
anyatsoona ndokuona tsoka yaibudikira asi
yaisaonekwa kuti yaiva yaani. Akabva aziva
kuti
muninga umu maiva nevanhu uye vatofa
nechekare.
"Chii chamboitika chaizvo izvo? Izvi zviri
kureva
here kuti vanaBotaremwana nevanhu vaya
vafira
mumvura umu? Ko mvura iyi , kunaya kwese
kwayaiita vaisaiona here?"
Mudhara Biggie akada kubatanidza
masvomhu
ose aiva apa ndokuzvishayira pazvo.
Zvichakaro,
akabva agaya zano rekuita sezvo yaiva
yadeuka
zvekusadyoreka chaiko. Chaiva chasara apa
chaiva chekutotamba ngoma yairira..
Biggie akandotsva yaakagadzira sechiredzo
kuti
akwanise kuhaka mitumbi yaiva muninga
umu.
Akaiwana ndokuuya kuzoita basa. Mutumbi
wekutanga hauna kunetsa sezvo gumbo raiva
pachena. Akahaka gumbo riye ndokudhonza
kusvikira abudisa mutumbi uyu.
"Apfurwa nepfuti uyu!"akadaro Mudhara
Biggie
paakaona ronda rekupfurwa kwaita mhondi
iyi.
Zvakatora nguva kuti awanezve umwe
andakanga
ndabaya nebanga. Akamuhaka
ndokumudhonza
achimubudisa zvakare. Akati oda kubudisa
chitunha ichi akabva atsvedza ndokuti bvo-o
mumvura pamwe nechitunha chiya. Zvakati
chitunha, Biggie nesimbi yake pamwe
nemwenje
zvakawira muninga umu.
Kuipa kwazvo, Biggie akabva awira
nemusoro
zvekuti musoro wacho wakasvikopinda
pamanera(ladder) aishandiswa kupinda umu
pari
pasi pemvura zvakare. Zvakatora kanguva
kuti
vakwanise kubvisa musoro pamanera. Biggie
vakatombonwa mikombe dzinoraudzira vasati
vabuda. Vakazobuda ndokumira panze.
Kwakanga kwava nerima zvino sezvo mwenje
wavaimba nawo wakanga wadonhera
mumvura.
"Izvi zvava kutoda kwakachena izvi.
Ndapotsa
ndatofawo ipapa. Ndokusaka vanhu vachiti
zvakaoma sekufema mumvura nhai?
Ndazozvionera pamhino sefodya," Biggie
aiva
achitaura nechemumoyo.
Akabva paninga apa ndokuenda kuhofisi
kwake.
~~~~~~~~~~
Stacey zvaakabuda pakamba, akasiya
mapurisa
ari muzvimiro zvakasiyana siyana. Vamwe
vaifarira kudzoka kwedu, ndivo vainetseka
mupfungwa kuti takanga tambopukunyuka sei
kumhondi dzavainge vashaya kuti
vodzitsvaga sei.
Kana vari Captain Ndlovu hatichatauri.
Vainge
voita sekuti vaitsika pasi panopisa kana kuti
pane
masvosve. Pfungwa dzavo dzakanga
dzovhiringika zvekuti vakanga voita sevasina
kukwana. Lloyd akanga ava nekashanje
kekuti
ainge aruza Shirley sezvo ndainge ndadzoka.
Izvi
zvakamudzawo moyo zvekuti akazvishora
achiti
ainge aita chinono chinenge chengwe.
VaDube vaiva ivo Deputy Station
Commander
vepakamba pedu ipapa, ndivo vaifara
sevachabata denga nekuti vaitozviudza kuti
takanga taratidza umhare kunyangwe zvazvo
vaisaziva kubuda kwatakanga taita. Amwe
mapurisa echikadzi aiita seachabata denga
nekuti
shamwari yavo ,Stacey akanga adzoka.
Ko chaimbova chii zve chaiita kuti Captain
Lewis
Ndlovu vapindwe nekutya zvakadai?
(1) Vaiva vava nechokwadi chekuti ndaiva
mhare
chaiyo, chikwiramakomo neanoyera.
(2) Vaitya kuti kana zvaizosvika pakuoma
ndaizovaburitsa pachena kuti ndiyo yaiva
honzeri
panyakanyaka yese iyi.
(3) Vakanga vozviudza kuti kana
ndaizovapandukira , haizokunda uye kana
kuti
havaizovasiya vari vapenyu.
Pfungwa dzavo idzi dzakavatuma kuti vagaye
zano nechimbi chimbi. Vakaona zvakakodzera
kuti vawane nzira yekundiuraya ndisati
ndavafumura pahunhubu hwavaindituma.
~~~~~~~~~~
Takatozomuka dzava ku awa reshanu zuva
manheru, kubva zvataiva tarara
mangwanani.
Hope dzakanga dzapera kwandiri asi kuneta
ndiko kwandaiva nako. Stacey akati
achimuka
akapinda mu *shower* ndokugeza.
Ndakatoshama nazvo kuti ko munhu
ambogeza
ava kudzokorora zve kugeza sei iye asina
kana
kumbodikitira zvake. Ndakazozviudza kuti
aiwa,
vanhu vechikadzi vanofarira zvekugara
vakashambidzika nguva dzose. Zvataiva tiri
muhunhapwa kuninga kuye,taitova mugehena
risingaite.
Stacey akapedza kugeza ndokupfeka hembe
dzainyatsomugara chaiko, apa ndipo
pakanyatsoona runako rwaStacey. Handina
hangu kuda kuzviratidza kuti ndaiva ndadyira
apa asi zvakandipinza kakuvhiringika
mumusoro
mangu. Akapinda muimba yekubikira
ndokutanga
kubika kudya kwemanheru.
Ndakazoonawo zvakakodzera kuti ndiendewo
kundogeza tozodya chikafu mushure
mekugeza.
Ndakapedza kugeza ndokuenda mukamuri
yekutandarira. Stacey akandipa hembe
yerudzi T
shirt yake ndokubva ndapfeka. Hepano
pabhurugwa ndipo pakaita mahwani.
Ndaizopfeka chii manje? Akazondipa
bhurugwa
re tracksuit ndokubva ndapfeka..
Stacey akapedza kubika chikafu
ndokupakura.
Takadya kusvikira ndanyatsonzwa kuti
ndaguta.
"Stacey ndinokumbirawo motokari yako
ndimbosvika kumba kwangu ndichamukira
kuuya
mangwana mangwanani."ndini uyu.
" Wadii kuzoenda mangwana patinenge tava
kuenda kukamba. Ndava kutya kurara ndega
ini,"akadaro Stacey achiratidza kusafarira
zvandaimuudza.
Hahahaha! Ko mwana uyu akanga
ondifungirei
pachokwadi. Ndakatoona kuti zvaiva
nechirevo
chete. Aitya kurara ega, ko makore ese
aakapedza achigara apa aimborara nani?
Handina hangu kupokana naye.
Ndakangomuudza zvese zvaiva zvitsvene.
Takapedza kudya ndokubva arongedza ndiro.
"Chihandei kundorara shaa. Mangwana tiri
kudiwa kukamba."ndiStacey uyu.
Ndakashamisika nemashoko aya. Ko ndanga
ndava kutumwa kundorara wena.
Ndakangoramba ndakanyarara zvokuti iye
akabva aona kuti pane zvaiva mupfungwa
dzangu.
Takazoenda kundorara mukamuri yekurara.
Takabva tadzokorora hupombwe hwedu huya.
Veduwee! Nyaya yekushanda tese uye
kupambwa
nematsotsi ndiyo yakatisvitsa chidanho
chatakanga tava nacho. Zvimwe zvaida
kuzvibatawo veduwe!
Zuva richiti vhoo, takamuka ndokuenda
kundogeza. Takapedza ndokubva Stacey
abika
svutugadzike. Takapedza tikazopinda
mumotokari
ndiye hutu takananga kukamba.
~~~~~~~~~~
Musi umwe chete uyu Shirley akamuka
semazuva
ose pfungwa dzichimunetsa nekushaikwa
kwangu.
Akapinda mu shower ndokugeza. Achipedza
kugeza , akabva agadzirirawo kudya
kwemangwanani. Akapakura ndokudya.
"Upenyu hwazondiomera chokwadi. SAKA
NDICHAITA SEI kana mukoma Jackson
vakashaikwa zvachose? Ndichagara pano
kusvikira riini? Ini ndapererwa ini. Oh! Yaa!
Ndaziva. Kana mwedzi uno ukapera mukoma
vangu ava vasina kuwanikwa, ndoenda
hangu
kundogara namai vangu(sisi vamai vake) ku
Boksburg. Mukoma Jackson vachava gamba
reupenyu hwangu nekuti
vakandiraramisa."Shirley aingopishana
nepfungwa idzi akagara pasofa. Akaenderera
mberi nekufunga zvaaifunga.
"Mukoma Jackson! You are the hero of
heroes. A
warrior in the shining. You rescued my life
from
the venomous idiots. Wherever you are or
whatever you do, dead or alive, I salute you
for
the rest of my life. I will remember you till my
last
breath of life."
Achipedza kutaura mashoko aya, Shirley
akatanga kuchema zvakare. Papera
chinguva,
apindwa nepfungwa yekuti aende kukamba
kuti
anzwe nezvenyaya yekushaikwa kwangu.
Akatora
akakiya makonhi eimba ndokutora
mudhudhudhu
mugaraji ndokupinda munzira akananga
kukamba..
Ini naStacey tichisvika pakamba takawana
mapurisa vamwe vedu vatova pa *parade*.
Ndakamisa motokari pa *parking bay*
yaStacey.
Takaburuka ndokubva ndaenda paiva
nemotokari
yangu. Ndakanzwa moyo wangu
kakunyevenuka
ndichitarisa motokari yangu iyi. Vaiva pa
parade
pavakaona kuti takanga tasvika vakabva
vakurumidza kuvharisa parade ndokudana
musangano we chimbi chimbi..
Takabva taenda kuhall kunoitirwa
misangano.
VaDube vakadoma umwe mupurisa
wechikadzi
kuti atungamirire musangano uyu. Sachigaro
akasimuka ndokutanga kutaura.
"Mangwanani akanaka kwamuri ma officers
mese."
Takabva tapindura,"mangwana makadii mese
mese."
Ndinovimba kuti tese tinoziva chaita kuti
tiungane
pano. Tinofara chose nekuti vamwe vedu
vadzoka
vari vapenyu uye vasina kukuvara. Hameno
pavari , dzimwe nguva vakakuvara
zvatisingaone
nemeso edu asi ndaona sekuti vari nani.
Tisingade kupedza nguva, tinokumbirawo kuti
vatitsanangurire kuti zvakafamba sei..
Ndakabva ndati Stacey atsanangure
ndokubva
asimuka ndokutanga kutaura.Stacey akabva
atsanangura zvese zvakaitika kusvikira
tibude.
Paakapedza ndipo pakazotangawo mibvunzo
dzaibva kune vamwe vedu dzichiuya kwatiri.
Takazopedzisira nekuwirirana kuti
taizoendako
nekukurumidza. Takati tichibuda mu
musangano,
Shirley akabva asvikawo. Akadzika
pamudhudhudhu ndokuuya kwaiva
naVaDube.
Ndakatoona kuti haana kunge andiona
panguva
iyi. Akati achinditi baa, akabata chifuva
achiratidza kushamisika. Akapukuta maziso
kuti
aone kuti chaiva chokwadi here kuti ndini.
"Shirley, my dear sister," ndakadaro ndava
kutoona kuti mwanasikana akanga asisazive
zvekuita. Akangomhanyira pandaiva
ndokusvikowira mumaoko angu. Mwana
akatanga kuchema.
"Jackson! Ko mwana uyu wakamupei chaizvo
izvo?"ndiLloyd aidaro zvake achiseka.
Masekero
ake akatoshamisawo nemamwe ma officers
aivapo sezvo vazhinji vaitotinzwira tsitsi.
Handina kupindura, ndakabva ndabata
Shirley
ruoko ndokuenda naye kumotokari kwangu.
Ndakamusiya ipapo ndokuenda kundotora
ma
keys muhofisi mataishandira naStacey.
Ndakabuda ndokudzokera kumotokari kuya.
Ndakavhura motokari ndokubva tapinda
naShirley.
"Chinyarara zvako,mwana wamai vangu.
Waitofanira kufara nokuti ndadzoka ndiri
mupenyu. Ndaidai ndakatofa kare kutaura
kuno.
Zvakanga zvamukunda pachokwadi.
Mapurisa
ese akanga angoti dzi dzi dzi kumira
sevamera
pasi semiti. Vanga vaona mutambo we drama
pasina kana muripo. Stacey wo akanga
otosvimha
musodzi sezvo akanga ofungawo mbona
mbona
yatakanga tasangana nayo.
Akazonyaradzwawo
neshamwari dzake..
Zvakazoitika zvino, hahahahaha! Zvinhu
zvakanga zvava pane chimwe chidanho.
Stacey
akanga otya kugara ega uye aitotarisira
kugara
neni kusvikira ava kunzwa zviri nani. Aiva
achakabatwa nekutya zvakanyanya. Akawo
Shirley kakanga achiti handichafi ndakasiya
mukoma Jackson vachienda kwavanoenda
vari
vega. Nemvura mese ,nemuchechi
nemuchechi,
nemubhawa nemubhawa. Ko kubasa ne
muchimbuzi?.
Mudhara Biggie vakazomuka
rungwananingwanani
......................................................
END OF CHAPTER 22.
CHAPTER 23.

Mudhara Biggie vakamuka


rungwananingwanani
ndokuenda kuninga kuye. Zuva
rakanga risati rabuda asi kwakanga
kwachena.
Kwakanga kwakati kwidibiri nemakore asi
mvura
yakanga isisiri kunaya.
Pavakanga vosvika pedo neninga,
zvakashamisa
kuona paiva nechitunha chavakasiya panze
chisisipo. Izvi zvakavapedza simba zvikuru.
Aika!
Chaiva chaendepi zve?
Biggie akaswedera pedyo paiva ne chitunha
ndokuwana paine matsimba akaita see kiti
asi
iwo aiva makuru chaiwo. Matsimba aya
airatidza
kuti chikara ichi chakatsika-tsika
chichiswedera
pagonhi reninga. Mudhara Biggie
pavaswedera
pamuromo weninga, shumba yakadzvova
zvakavashaisa simba. Havaifungira kuti
chikara
ichi chaiva chawira muninga umu..
Vakabvunda zvekuti vakapotsa vawira
muninga
imomo. Shumba yakavasvetukira
ndokuvapotsa.
Yakabata besu rebhachi ravaiva vakapfeka.
Kudai vasina kunyatsobata simbi yavaiva
vakabatira patiri kana iyo simba yakatyoka,
vaidai vakaita chisvotorambovovo
cheshumba
musi uyu. Vakaramba vakabata simbi
kusvikira
bhachi rabvaruka. Shumba yakasara
nebhachi
ivo ndokubuda..
Vakafamba ndokundogara paiva nerimwe
zisimbi
,zvikokora zvakatsamidzirwa pa pamabvi izvo
zvanza zviri pa shaya.
"Zvii zviri kumboitika chaizvo? Ko shumba
iyi
yakapinda nepi? Maihwee! Vanhu vava
kupfuka
ava."
Vakazoenda kundotora pfuti ndokupfura
shumba
kusvikira yafa. Vakazogaya zano rekuti
vaizofutsira ninga iyi sezvo vaisakwanisa
kubudisa nhengo dzezvitunha dzaiva
dzasiyiwa
neshumba.
Chiriporipotyo, gadhi airinda pagedhe
akabva
asvika wo ipapo. Akauyapo nekutya akanga
anzwa kuridzwa kwepfuti.
"Ko iwe uri kudei pano iwe? Enda kugedhe
uko?
Hiwee!"Biggie akadaro achibudisa pfuti
yaaiva
nayo. Gadhi akacheuka ndokuenda kugedhe
achishaya kuti chii chaitora nzvimbo..
Mudhara Biggie akazohaya( *hiring*)
motokari
yekutakurisa ivhu ne mushina wekucheresa
ivhu.
Akachera ivhu achitaura ivhu ndokufutsira
ninga
iya. Izvi aizviitira kuti chokwadi chisabuda
pachena. Apedza kuita basa rese akadzosera
mishina dziya. Akazoenda kuhofisi kwake
ndokuzvivharira imomo.. Akabva ashanyirwa
nedzimwe hope wanike heyi! Zvaikunda
ngoma
kurira.
~~~~~~~~~~~~
"Agent Jackson! Muri kudiwa naVaDube
kuhofisi kwavo,"uyu ndeumwe mupurisa
wechidiki akanga atumwa naVaDube
kuzondidaidza. Stacey akanga atovako
nechekare.
"Zvakanakai, Officer. Maita
basa,"ndakapindura
ndichibuda mumotokari mandaiva naShirley
panguva dzaaichema.
"Shirley. Chimbosara muno ndimboenda
kwandadanwa nemukuru wedu. Ndiri
kudzoka."
"Aiwa! Handei tose,mukoma. Handidi kusara
ini," mwanasikana akati tana kuramba.
"Zvino unoda kuti ndiite sei?
Hakubvumidzwe
umwe munhu kunze kwemapurisa kwatiri
kuenda
uko!"ndakapindura nenzwi raiva rati kwirei
zvishoma.
Shirley haana zvaakazopindura. Ndakaenda
kuhofisi kuya ndokuwana Stacey atovako
nechekare. Ndakapinda muhofisi ndakugara
pedo naStacey.
"Yaa! Detective agents. Nekubatwa
kwamakaitwa
nenhubu. Ndafara chaizvo nekudzoka
kwenyu.
Nyaya iri pano ndeyekuti tironge zuva
rekuenda
kunzvimbo kwematsotsi ayo. Mafambire acho
kuti
tisvikeko munomaziva ka?"ndivaDube ava.
"Ehe! Hatingambokanganwe," ndakapindura.
VaDube vakazobvunza ,"Saka muri kuda
mazuva
mangani ekuzorora tizoendako?"
"Tokumbirawo mazuva maviri timbozorova.
Miviri dzedu dzichakaneta kunge huku
chaidzo,"Stacey akapindura.
"Zvakanakai. Endai mundozorora. Mozouya
kuno
kuswera mangwana."
VaDube vaiva munhu ainzwisisa zvichemo
zvevamwe, nokudaro vaifarirwa nevanhu
vose.
Takabuda muhofisi maVaDube ndokufamba
takananga kumotokari dzedu.
"Jackson! Saka wati toita sei? Ini ndava
kutya
kurara ndega ini. Zvakadii kuti Tambofara
tese
kusvikira ndava kunzwa zviri nani. Moyo
wangu
hauna kugadzikana ini," akadaro Stacey
achiyema zvake.
"Ndiri kuzvinzwa, dear asi ndinoda
kumborarawo
kumba kwangu nhasi. Pamba pako
pakachengetedzeka wani paya?
" *Of course, Jack but just accompany me for
only a week. I know that I will be ok in week's
time,*"akapindura akanyatsonditi ndee mu
maziso angu. Ndakangonzvengesa meso angu
ndokutarisa tarisa kuti hapana vaitiona here..
Stacey akanga ava kundiita semurume wake
kunyangwe zvazvo ndisina kumbokanda
shoko
rerudo kwaari.
"Don't you care about me,Jackson? Pamwe
ndatova nenhumbu yako izvezvi!"
Hezvo! Mashoko andakanga ndoudzwa apa
akandikanga mate mukanwa.
Ndakangoshama
muromo kunge nyana iri kuda kupiwa kudya
namai vayo. Stacey akanga odurura mashoko
asingadzeyi kuti akamira sei.
"Stacey. Uri kureva kuti hausi kuda kuti
ndiende
kumba kwangu here? Ko hanzvadzi yangu iyi
ndoita sei nayo? Inga anotovimbawo neni.
Kana
iri yemimba iyi, zvapinda papi? Ko wava
kutongera Mwari here? Tarira! Takatariswa
nevanhu vese. Tozoitaura takagarisika.
Chienda
kumba , ndicharamba ndichikufonera."
Takaparadzana naStacey ndokubva ndaenda
kumotokari yangu kwaiva naShirley,Stacey
achiendawo kumotokari yake. Ndichongoti
pfacha pamotokari yangu, VaNdlovu vabva
vasvika wo.
"Jackson, ko uri bhoo here? Wakatenga
motokari
yakanaka chaizvo. Ko wakaitenga marii?ndi
VaNdlovu vaibvunza vasingamirire mhinduro
kubva kwandiri. Ndakabhohwekana panguva
yavaitaura neni kudai. Murume mukuru
akanga
asinganyare pachokwadi.
" Chimbovhura bhoneti tione engine yacho
kuti
yakamira sei."Captain vakaenderera mberi.
Kudai ndakaziva zvaida kuitwa naVaNdlovu
panguva iyi, ndaidai ndakaramba kuvhura
bhoneti. Kudai ndakaroteswa zvangu.
Ndakavhura bhoneti riya ivo vachibva vaita
sevaiongorora engine. Vakatora
chimbambaira
chidiki chaiva muhomwe mavo.
Chimbambaira
ichi vakachitora ndokuchinamatidza pa
engine
nechepazasi. Radiator yakanga iri pamusoro
pacho zvishoma. Mashandire echimbambaira
ichi
aiva ekuti chaizoputika kana chanzwa kupisa
kwe
engine. Zvavaiita zvese apa handina kana
kumbozviona. Ndakazovhara bhoneti
ndokupinda
mumotokari. Shirley akanga arimo nechekare
uyuwo Stacey akanga aenda kumba kwake.
Ndakamutsa motokari ndiye hutu. Motokari
vakabvuma kuita shamwari yemhepo
zvechokwadi uku engine yichitangawo
kupisa.
Zvamunoona tichirarama kudai, mwari
variko zve
shuwa. Musi uyu ndiwo waidai uri
wekupedzisira
paupenyu hwangu naShirley. Rumbidzai
Mwari
mumunamate nemoyo wenyu wese, hama
dzinodiwa.
Tirimo munzira, takananga kumba kwangu.
"Mukoma. Ndokumbirawo kudzika
ndimbozvibatsira,"ndiShirley uyu.
Ndakabva ndamupindura,"Wadii wabva
wapedza
nazvo tichiri kukamba? Tarira kuti mava
musango muno, hamuna chimbuzi."
Ndakabva ndabuda motokari ndokubva
adzika.
Akaenda seri kwechuru chaiva chinhambwe
chingangoita mamita makumi matatu
ndokuzvibatsira. Iniwo ndakati regai
ndidzikewo
ndombotendererawo zvishoma asi hapana
zvaida
kuita. Ndichingoti fambei mamita maviri
ndakazonzwa kumotokari kuya, bhummmmm!
Chaputika chimbambaira. Ini ndaizivei kuti
takanga takateyiwa? Shirley akaridza mhere
ari
kuseri kwechuru ndo kusimuka achimhanya.
Mwana paakati baa,kuona kuti imotokari
yaputika ,akafunga kuti ndanga ndatofira
imomo
sezvo haana kuona kubuda kwangu
mumotokari
umu.
"Mukoma Jackson vangu vafawo veduwee!
Ndoita zvekudii inini! Maihwe-e!" mwana
akanga
obongomora mhere isina mukuru
akamboiona.
"Shirley! Ndiri kuno mhani iwe! Uya kuno!"
zvandakotaura izvi zvakavhundutsa
mwanasikana. Akanga oti hecho! Chipoko
chemasikati! Mwana akashaya zvekuita
veduwee.
Ndakati ndoenda otonditiza.
Ndakazomumhanyirira ndokumubata.
"Ndini mhani iwe! Cool down. Shirley! Cool
down!"ndini uyu ndaidzikamisa Shirley.
Ndakazomubata ruoko ndokuenda naye
kwaiva
kunemotokari yaibvira. Ndisati ndasvika,
ndakabva ndaona chidemhe chechimbambai
chaiva chaputika. Ndakabva ndaziva kuti
chaiva
chimbambaira sezvo ndaiziva mhando
dzakawanda dzazvo.
Ko chii chakaita kuti chizoputika motokari
yamira, izvo panguva yayaifamba hachina
kuputika? Zvakaitika ndezvekuti engine
yaipisa
,hongu, asi motokari payaifamba ,
chimbambaira
chaitonhodzwa nemhepo. Saka motokari
payakazomira, chakabva chanyatsotsva
zvakanyanya ndokuputika.
Pfungwa dzangu dzakangoti VaNdlovu
vakaita
izvi. Ndakabva ndatoona kuti ndaifanira
kungwara kwete zvekuvaraidzwa nemukaka
sekacheche. Ndakabata-bata homwe dzangu
ndokubva ndaona kuti chikwama changu
chaiva
chitupa, card rebank ne chitambi chekutyaira
ndaiva ndabuda nazvo. Ndakangoti MWARI
NGAVAKUDZWE NEKUSINGAPERI.
Ndakabudisa foni yangu ndokufonera
VaDube
kukamba. Ndakavaudza zvese zvakanga
zvaitika
ndokubva kubva vasimudza motokari
nemamwe
mapurisa. VaNdlovu vakanyepera mamwe
mapurisa kuti vakanga vonzwa musoro
nokudaro
havaikwanisa kuuya kwandaiva. Nenguva
isipi,
vakasvika panzvimbo paya.
"Jackson! Ko chii zvakare? Haaa!
Vakomana!
Zvinhu izvi zvazonyanya."
Mapurisa ose aingodzungudza panguva yese
iyi.
"Motokari yakasara pakamba, handiti? Ko
chimbambaira ichi chakabvepi? Varume!
Tine
nyoka pakati pedu."
Pakava nekutaura kwakawanda pakati
pemapurisa ini ndakangonyarara chete.
Takazodzoka tese kukamba ndokubva vandipa
motokari yebasa asi yaiva isina kunyorwa
kunzi
POLICE. Takazopinda mumotokari iyi
ndokuenda kumba naShirley..
Takasvika kumba ndokuona mumba
karongedzwa
zvakaisvonaka. Shirley aigona kugadzirira
mumba zvechokwadi. Ndakaona kuti pakanga
pava nemusiyano wakati kuti. Shirley akanga
ava
kuratidza kufara chaizvo musi uyu. Akabika
chikafu chemanheru tikadya. Ndakazoenda
kundogeza ndokurara.
Pasina nguva ndakanzwa pagonhi
kugogodzwa.
"Ndiani?"
"Ndini Shirley"
"Ko chii? Chienda kundorara. Tomutsana
mangwana."ndakapindura.
" Ndotya kurara ndega ini. Munokwanisa
kuzondisiya ndega ndakarara."
"Ndokusiya ndichienda kupi?"ndakapindura.
"Handidi kurara ndega ini aaa"Shirley
akanga
otanga kuchema.
"Okay. Pinda."
"Mwana akapinda mandairara ndokunanga
pamubhedha pandaiva. Akauya akararawo
pandaiva.
"Zvino hausvodi kuuya kuzorara nemukoma
wako? Wadii warara pasi."
"Pasi handina kupajaira ini."ndiShirley.
Apa ndakatoona kuti muedzo dzakanga
dzotevererana. Zvakanga zvaoma
sezvaJudhasi.
Kutaura chokwadi ini ndakatadza kukunda
muedzo uyu. Zvaiva zvakaoma, apa nzira
yaiva
isati yambofambiwa. 33 versus 18. Haaa,
Ma1.
VaNdlovu zvavakaona kuti zano ravo
rakatadza
kubudirira , vakabva va...........

END OF CHAPTER 24.


CHAPTER 24.

VaNdlovu zvakaona kuti zano ratadza


kubudirira,
vakabva vapindwa nekutya. Vainyanyosvotwa
nekuda kwekuti Mwari vaindirwira chero
zvazvo
ndaimbopinda panguva yakaoma. Zvisinei ,
havana kumira nyaya yekundivhima.
Iniwo zvandakaona kuti ndakanga ndapotswa
nechimbambaira, ndakabva ndatotanga
kuchenjerera pafambiro andaiita. Ndakabva
ndatoziva kuti VaNdlovu ndivo vaiva muvengi
wangu.
"Ko nhai Jackson! Nyaya yawandiudza iyi
inotyisa. Pakamba pedu apa paita muvengi
wako.
Ukaita zvekutamba unourayiwa nevanhu,
mudiwa,"uyu ndiStacey aitaura mashoko
mushure
mekunge ndamuudza nyaya kupotswa
kwandakaitwa nechimbambaira.
"Zvakaoma shaa. Handichaziva kuti ndoita
sei
ini," ndakapindura ndichiratidza
kushushikana
nenyaya.
Taikurukura zvedu nyaya patakanga tiri
pakamba
tichigadzirira kuenda kwamudhara Biggie
nemamwe mapurisa. Rakanga rasvika zuva
rekuenda kuscrapyard kuya. Takapedza
kurongedza ndokubva tapinda munzira.
VaNdlovu havana kuda kuenda kunzvimbo
uku
zvakare. Vakabva vaudza VaDube zvimwe
zvikonzero..
Takamborasika sezvo dzimwe nzvimbo
dzataifamba netsoka dzaisafambika
nemotokari.Takasvika ndokuwana gedhe
rakavharwa.
"Ndipo pano. Tasvika
." Stacey akadaro .
"Zvino zvapakakiyiwa. Vanhu vacho varipi?"
Takazopaza gedhe ndokupinda mukati.
Takafamba tichienda kuhofisi ya mudhara
Biggie.
Takati tava pakati nepakati , takazonzwa
dzarira
pfuti. Pfuti idzi dzairirira muhofisi
dzakatendekwa kwatiri. Apa ndipo
pandakaona
kuti tanga tava panguva yaChimbetu..
Musi uyu ndiwo wandakaona zvakare kuti
zodzo
yaiva mandiri zvechokwadi. Vamwe vangu
vakakuvara zvakanyanya asi ini ,Stacey
naumwe
wedu ainzi Sajeni Mboma vataiva tisina
chero
vanga zvaro. VaDube vakasara vari
mumotokari,
nokudaro havana kukuvadzwa. Stacey
zvaakaona
kuti nyaya iya yatanga zvakare akamhanyira
kwandaiva. Mwana uyu aivimba neni.
Takaenda
kundovanda pane umwe Muri we simbi.
Ndakazonyahwaira ndichienda kuhofisi kuya
ndichivanda nesimbi dzaivamo. Ndichisvika
pedo
mekona yehofisi, dzaiva muhofisi dzakamira
kuridzwa. Stacey akanga ari mumashure ngu
mangu chaimo..
Takapinda muhofisi muye ndokuwana musina
munhu. Ko chii chakanga chamboitika zve
apa?
Mudhara Biggie neimwe shamwari yavo
zvavakationa tichipaza pagedhe, vakabva
vaziva
kuti kwaiva kusina kumira mushe. Vakatora
pfuti
dzavo nekukurumidza ndokutanga kutipfura.
Pavakaona kuti mabara apera vakabva
vapinda
mutonera (tunnel) ravakachera
richindobudira
kunze kwe scrapyard.Vakakambaira
mutonera
muya ndokubuda kunze. Vachibuda kunze
vakaona nyuchi dzaiva pedo nemuromo
wetonera
iri. Vakadzidenha chimbi chimbi ndokutora
mazinga ndokumakandira pamusiwo
wetonera.
Vapedza kuita izvi vakabva vatiza.
Ini,Stacey nevamwe vasina kukuvadzwa
nematsotsi takabva tatotanga kutsvaga vanhu
vairidza pfuti muhofisi umu. Taizivei kuti
shasha
dzaiva dzatopemhena musango nechekare.
"Pane mwena uri pano,Jackson," ndiStacey
uyu.
Ndakabva ndaendako nekurumidza.
Ndichisvika
apa ndokuona kuti raiva zimwena zvedi.
Mumwena umu maiva nerima nokudaro
Ndaka
tuma Stacey kundotora mwenje.Akauya
nemwenje
ndokubva tapinda mutonera muya. Veduwee!
Takanga totamba neupenyu chokwadi. Ko dai
taiva takavandirwa imomo handiti taipfurwa
tikafiramo. Takakambaira tichitevedza tonera
iri
ndokusvika pamuromo waro. Patakangobuda,
nyuchi dzikati tote nesu.Takarumwa
tikazvirega
chokwadi. Takazoona zvakakodzera kuti
tidzokere
mumwena muya ndokudzokera kwatakanga
tabva
nako. Takazoenda kwaiva naVaDube
ndokuvaudza zvose zvakanga zvaitika.
Takanga
tava vashoma apa sezvo imwe motokari
yakanga
yaenda nechekare nevakanga vakuvara.
Takatyaira motokari ndokudzokera kukamba.
~~~~~~~~
Mazuva akafamba pamwechete nemavhiki
acho
zvichiratidza kuti hazvina kumira mushe.
Nyaya
yekuputika kwebhazi haina kuda
kumbodzikira,kwete..
Rimwe zuva VaDube vakadaidza Mai
Musakanya
avo vaiva zvavakaona pakaputika bhazi.
Vakauya
kukamba munguva dzemangwanani kukamba.
"Mangwanani mhaiyo. Tokumbirawo kuti
timbotaura nezvenyaya iya yakafambira
kwenyu
musi uya. Munogona kukurukura zvenyu
nevaviri
ava sezvo vari ivo vakabata nyaya iyi.
"Chiendai zvenyu kuhofisi kwenyu navo vave
vakutsanangurirai zvavakaona."ndivaDube
ava.
"Copied,Sir!" Takapindura tichiratidza
ruremekedzo kwavari.
Takabuda muhofisi mavo ndokuenda kuhofisi
kwedu. Kuna Stacey, nyaya yakanga yava
kuferefetwa nevanodanana. Kwandiriwo
ndaitya
kuti ko Stacey akaziva kuti ndini ndakaita
izvi,
aizozvitora sei. Zvinhu zvacho zvaikunda
ngoma
kurira.
Takapinda ndokugara pazvigaro zvedu.
Stacey
ndiye akazotanga kutaura naMai Musakanya.
Stacey: "Tinokukwazisai, mhamha."
M.M.: "Hevoi. Makadiiko vanangu?"
Stacey: Tinofara zvedu. Ndinokumbirawo kuti
tichipinda munyaya yatisanganisa kudai.
Nguva
dzacho ndidzo dziri kudyana.
Mungatitsangurirawo here zvamakaona
zviitika
pabhazi?"
M.M.: "Ndakaona bhazi richifamba
mumugwagwa. Bhazi iri raiita ruzha
rwakanyanya zvinova izvo zvakandimutsa.
Bhazi
iri rakabva ramira pakati pemugwagwa.
Ndakazvipa mubvunzo dzakawanda
dzinosanganisira wekuti ,
Seibhazi rakanga tichiita ruzha rwakadaro,
Raienda kupi panguva iyi sezvo kwaiva kuma
past
1 dze usiku."
Ndakabva ndapa mubvunzo kuna Mai
Musakanya,"Makanga muri kudivi ripi
kwemugwagwa? Kudivi kwaiva negonhi
nebhazi
here kana kuti rimwe divi?
"Gonhi raiva kune rimwe divi," vakapindura
Mai
Musakanya.
"Zvakanaka. Endererai zvenyu mberi."
Vakabva vasimudzira nyaya,"Zvichakadaro,
bhazi rakabva raputika. Izvi zvandivhundusa
uye
zvakandityisa zvikuru. Zvigaro, mataira
nhengo
dzevanhu uye simbi dzakasiyana siyana
zvakaita
sezviri kubhururuka zvichidonhera
panzvimbo
dzakasiyana siyana. Hmmmmm! Zvaityisa.
Ndakambofunga kuti zvaiita munguva
yehondo
ndikati pamwe kwaitova kutanga kwayo.
Stacey akasimudza zve umwe
mubvunzo,"Makamboonawo here chimwe
chinhu
chamungafungidzira kuti chingadai chiri icho
chakakonzera kuputika uku?"
M.M.: "Ini ndakafungidzira kuti ibhomba
raiva
mubhazi umu. Munoti raisava iro here?"
Jackson: "Aiwa. Tiri kuedza kutsvagiridza
zvikonzero zvacho. Kana makaona chinhu,
chingadai chakarova kana kupotserwa
pabhazi,
zvingava zvakakosha panyaya iyi. Ringava
bara
rakapotserwa pa tangi re mafuta (fuel tank)?
Hamuna kuona kana kunzwa wo zvinhu
zvakaita
saizvozvo?"
Mai Musakanya vakadzungudza musoro
zvichiratidza paisava nezvavakaona zvakaita
sezvataibvunza. Vakavapindura,"Handina
kumbonzwa kana kuona zvakadaro."
Pane zvese zvaitaurwa naMai Musakanya
zvaitaridza kuti vakanyatsoona chaizvo
zvakaitika
pabhazi iri. Kubvunza kwese kwandaita
ndaiedza
kurasisa nyaya kuti ndinyatsoona kuti
vakaona
zvechokwadi here kana kuti inhema.
Ndakabva ndavapa umwe mubvunzo uyo
wandaiti
vakangoukonewa chete , ndaitoti ndabuda
munyaya. Stacey anyora zvese zvaitaurwa
naMai
Musakanya. Veduwee ! Zvakanga zvoita
muviri
wangu zvaitokunda ngoma kurira. Ndakanga
ndava sehuku yakasasikwa pamoto
zvechokwadi.
Mhinduro yakatapiwa pamubvunzo
wandakabvunza Mai ava yakaita kuti ndibude
Dikita kuti teu teu. Heyi! Zvakaoma. Saka
ndichaita sei? Kunyangwe zvazvo ndakanga
pachimiro chakadai, ndaiedza
kuzvidzikamisa.
Ngatinzwe mubvunzo pamwe nemhinduro
yacho.
Jackson: "Pane munhu wamakamboonawo
here
pachiitiko ichi?"
Mai Musakanya: "Oh! Maita basa. Ndanga
ndatokanganwa.. . Pakaputika bhazi
ndakaona
vanhu vaviri kudivi raiva nemusuwo webhazi.
Pakutanga, bhazi rakanga rakandidzivira
kuti
ndisaona zvakanaka asi parakaputika,
pakanga
pasisina chinonzi bhazi. Hwakanga hwava
hurubvurubvu hwe simbi nevanhu.
Zvakazondishamisa ndezvekuti kunyangwe
zvazvo bhazi raparara kudaro, vanhu vaviri
ava,
umwe aiva murume, umwe aiva musikana
wechidiki angati pachirungu , teenager. Kana
ainge abuda pahu teenager uhu anenge aiva
nemakore makumi maviri chete kana kuti
makumi
maviri nerimwe."
Ndakabva ndaona kuti nyaya yangu yava
kubuda
zvino. Stacey hapana zvaakambofungidzira.
Raitova rima zvaro
"Mungatitsananguriwo zvimiro zvavo
here?"ndakabvunza ndakangovatarisa
kumeso.
Ndakangoti nechemumoyo
kana vane zvakaona ngavachingotaura nekuti
nyaya yanga yotemesa musoro iyi.
Ndaitofanira
kubvunza zvazviri kuitira kuti Stacey arege
kundifungira.
"Musikana akanga ari mupfupi ari mukobvu
zviri
pakati nepakati. Handina hangu kuona chiso
chake,"ndimai Musakanya ava.
"Vakanga vachiitei?"
"Kusimuka pakanga vadonhera. Kuputika
kwakaita bhazi kunofanira kuva iko
kwakavapotsera kwakadaro uko."
Ndakabvunza zvakare,"Saka chii
chakazoitika?"
"Murume ndiye akatanga kusimuka paakanga
adonhera ndokuenda kwaiva pakadonhera
musikana. Akabatsira kuti asimuke
ndokutaura
kwechinguva vakamira ipapo. Murume
akazofambafamba achiratidza kuti pane
zvaaitsvaga."
"Munguva neruzivo nekwavaibva
here?"ndakanga ndowanza mibvunzo
chokwadi.
Ndaizodiiwo? Handiti ndiro raiva basa redu?
" Kwete."
"Ko chimiro chemurume wacho iyeye
muchachiyeuka?"Stacey akabvunza.
Apa ndipo pakazobuda mahwani zvino.
Mai ava vakabva vakanyatsonditarisisa zvine
chirevo mukati," Munhu aiva nechimiro
chakaita
sechenyu, mukoma. Hamusiri imi here?"
Aikaka! Yedu Yekuda kubvunza zve unyanzvi
iyi,
haiwaiwa! Rine manyanga rakanga rotunga
bepa
panguva iyi.
Handina kupererwa nezvekutaura.
Ndakaseka
zviya zvekuti ndaisava nehanya nazvo ,
ndokubva
ndati kwavari,"Ndinofunga kuti ndakafanana
nevanhu vakawanda. Mungakwanisa
kutsanangura zvakakwana here?"
"Ndinonyatsoona zvakakwana ,nhai
mukwasha."
Munhu wacho ka, akaita sezvamuri izvozvi."
"Zvakwaiva usiku uye panotsva chinhu
panoita
hutsi. Ko pakati penyu nemurume uyu
pakanga
pasina hutsi here hungakutadzisai kuona
mushe?"
"Ichokwadi zvacho kuti kukaiswa vanhu
pamutsetse ndingangotadza kunongedza
munhu
iyeye asi moto wakapfuta ipapo wakaita kuti
kuite
se masikati. Kana musiri imi, munhu iyeye
akafanana nemi zvisingaite."
Stacey akazoti,"Zvakanakai, Amai.
Tichakudaidzai kana tava kuda kunzwa
zvimwe
zvinhu."
Zvakaoma. Nyaya yakanga yatooma iyi.
Chaidiwa apa chaiva chekuti ndikurumidze
kufunga. Chero Stacey akatoonawo kuti paiva
nenyaya asi nekuda akanga apfurikidza
mazuva
ake ekugeza akafungidzira kuti akanga ava
nenhumbu yangu. Zvataitaura apa akanyora
zvimwe achisiya zvimwe.
Mai Musakanya vakazobuda zvavo
ndokuenda
kumba kwavo isu tichienda kuhofisi
kwaVaDube.
VaDube vachiona zvinyorwa zviya.................
...................
END OF CHAPTER 24

CHAPTER 25.

Mai Musakanya vakazobuda zvavo


ndokuenda
kumba kwavo, isu tichienda kuhofisi
kwaVaDube.
VaDube vachiona zvinyorwa izvi vakada kuti
vatsvage kwayakananga nyaya iyi
ndokushaiwa.
Pasina nguva , mibvunzo dzikati dzonaya
kwatiri.
"Jackson! Uchiri kuyeuka here kuti
takambokubvunzai pano , iwe nemusikana
uya
waunogara naye, mukati maivamowo
mubhazi
umu. Ko hausiwe here wakaonekwa musi
wakaparara bhazi iri?" VaDube vakabvunza.
"Handisi. Izvi zvakaitika ndatodzika
nechekare,"
ndakapindura.
"Ko Stacey, unoiona sei nyaya iyi? Ndinoziva
uri
nyanzvi pakuferefeta nyaya iwe. Uri kutadza
sei
kuburitsa nyaya iyi pachena?"VaDube
vakanga
vava kuratidza kuti vaiva nechokwadi
nezvavaitaura.
Hmmm! Saka NDICHAITA sei? Nyaya iyi
yakanga yonanga kwaMupinyiwatyoka.
Ndomirira kusungwa here? Ko Ndikataura
chokwadi chakaitika chichaitika?
Ndakanga ndobikika mupfungwa nechimiro
chaiva chakatarisa neni.
"Jackson! Chimbobuda muno pane zvatiri
kuda
kumbotaura,"ndi VaDube ava.
Ndakasimuka ndokubva ndabuda. VaDube
naStacey vakasara vachitaura.
" Agent Sibanda! Ko umwe wenyu muri
kumuona
sei? Nyatsotarisai kwakananga nyaya iyi."
"Hmmm! Handisi kufungidzira kuti Jackson
angavawo munyaya iyi nokuti nhamo yataona
pakutapwa kwatakaitwa tava tese uye taitoda
kuurayiwa tese nemhondi. Kudai tisina
kumira
mira taidai tisina kudzoka pano," Stacey
akapindura.
"Ko VaNdlovu unovaona sei?" Stacey
akapiwa
zve umwe mubvunzo naVaDube.
"Yaa. VaNdlovu vangadaro vane kudyidzana
nemhondi idzi sezvo kuita kwavo hatisi
kukuona
mushe. Zvakare yeukai kuti Jackson uyu
akapotswa nechimbambaira. VaNdlovu
vangadaro vari ivo honzeresi yacho."
Vachinzwa mashoko aya, VaDube
vakagutsirira
musoro kuratidza kuti vaiwirirana
nezvaitaurwa
naStacey.
"Zvakanaka. Rega tibatsirane kuongorora
murume uyu. Tichamubata chete,"VaDube
vataura mashoko aya vachirova patafura
nechibhakera.
Stacey akaudzwa kuti achibuda hake
ndokunditsvaga kwandakanga ndaenda. Ini
panguva yandakabuda muhofisi maVaDube
vanaStacey ndakangoti ndichipota nekona
yehofisi yavaDube, ndangoti dhuma dhuma
naVaNdlovu.
"Constable Jackson. Ndokumbirawo zve kuti
mumbouya kuhofisi kwangu,"
Handina kuita nharo ndakatevera ndichienda
kuhofisi kwavo. Tichifamba kudaro
Stacey akabva ationa paakabuda muhofisi
maVaDube. Akadzoka muhofisi maVaDube
ndokukumbira stethoscope naVaDube sezvo
vaiva
vakadzidzirawo zveurapi vari mupurisa
kudaro.
"Ko chii nhai Stacey?"ndi VaDube ava.
Ndaona Jackson achidanwa naVaNdlovu.
Zvino
ndinoda kunzwa zvanoda kutaura.
"Uchaiita sei stethoscope yacho," ndivaDube
vairatidza kushamisika nezvaitaurwa
naStacey.
Ndichaisa munzeve ,iri divi rayo rinoiswa
pamurwere ndinoriisa pagonhi. Ndinovimba
kuti
ndichanzwa zvavachataura imomo,"Stacey
akapindura.
VaDube vakapa Stacey stethoscope iya,
ndokubva
abuda nekukurumidza.. Akasvika pagonhi
rehofisi
ravaNdlovu ndokuisa munzeve ukuwo
kunoiswa
pamurwere obva atsamhidzidzira pagonhi.
Akanzwa zvese zvaitaurwa naVaNdlovu
naJackson.
"Jackson. Unoti kudii nenyaya yaya kunetsa
iyi?
Unoziva ukangoita zvekutamba ,nyaya
ichatipinza mujere iyi."
Ini ndakapindura,"Zvechikwata izvi zvinoda
kusiya. Ini hangu handizvifariri hangu
zvemabasa
aya. Kudai tangoita vanhu kwavo kwete
kusweronetsana nevanhu."
"Unenge wava kupanduka , Jackson. Yeuka
bumbiro remutemo zvarinotaura," VaNdlovu
vakadaro vakanditarisa neziso rakanga rizere
ukasha nehutsinye.
"Ndinoriziva. Asi kutoti zvinhu zvekudai izvi
hakuna kwazvinosvika," ndakapindura ndine
hushingi chaihwo.
VaNdlovu vakazoti ndaifanira kuzosaina
gwaro
rekusiya chikwata nerimwe zuva. Iniwo
ndakabva
ndati ose aiva machena.Ndakabuda muhofisi
ndokuvhura gonhi ndokubuda.
Ndichingobuda
panze ndokuona Stacey ari panze. Ndakabva
ndaziva kuti Stacey akanzwa nhaurirano
yedu.
Mwari imi! SAKA NDICHAITA SEI, Stacey
zvaanzwa zvatakanga tichitaura? Ko Stacey
achaita seiwo zvaanzwa zvese izvi? Ratova
jere
ka iri? Hana yangu yakarova zvekuti
ndakanga
ndotobvunda nekwaipisa kudaro.
Uyuwo Stacey akazviona kuti ndanga
ndonetseka
ndokubva angondizevezera achiti ndidzikame.
Ndakatoona kuti pane zvaaifunga. Zvino
aifunga
kuita sei nenyaya iyi? Akazevezera tibve
panzvimbo iyi ndokubva taenda kuhofisi
yataishandisa tiri vaviri pakuchengeta
zvinyorwa
nekuferefeta nyaya. Takasvikogara pazvigaro
zvedu ndokutanga kutaura.
"Jackson. Ndanzwa zvese zvamaitaura
naVaNdlovu. Nyaya iri pano ndeyekuti Taura
chokwadi kuti zvii zvakaitika kuti ndiwane
kumira
newe," Stacey akataura akanditarisa kumeso.
Ndakabuda dikita rakaerera sendanganiwa
nemvura chokwadi. Ndakatanga kufunga kuti
VaNdlovu vakanga vandipinza mugango
zvechokwadi.
"Stacey. Ndinokumbirawo kuti undipe nguva
ndozokuudza zvand inoziva panyaya
iyi,"ndakataura ndichinzwisa tsitsi.
"Zvakanaka,Jackson. Nhasi toenda kumba
kwangu tozokurukura nyaya iyi zvakanaka,"
Stacey akataura..
"Don't worry. Tinoenda tese."ndakapindura
nechimbi chimbi izvo zvaitaridza kuti Stacey
asafunga zvakawanda. Iye Stacey wacho
akanga
atondibatira paguyo sembwa chaiyo. Handiti
pakutanga aitoona kuti ndaisava nehanya
nezvake panyaya dze rudo? Ndaizivei kuti
mwasikana akanga ava kutondinzwira jinja
kubva
zvatakaravirana..
"Chirega ndiende kuna VaNdlovu
ndindovavhara
asi toda kuisa VaNdlovu pakaoma. Mira
uone.
Zvekuita ndinazvo,"Stacey akadaro
akandibata
pafudzi.
Mwanasikana akakanda nhanho achienda
kuhofisi kwavaVaDube. Akapinda ndokugara
pachigaro.
"Pachipamwe, Sir."
"Pamweni , Detective Agent. Tipei tinzwe."
Nyaya iripo ndeyekuti pakuferefeta kwataiita
nyaya, pane zvakaonekwa naJackson asi
VaNdlovu vakazvibata. Saka vari kuedza kuda
kubvisa chiokomuhomwe kuna Jackson asi
ari
kuramba,"Stacey akabika zano ndokutaura
nyaya
nepasipo. Akabva avapa chikumbiro.
"Chikumbiro chandinacho kubva kwamuri
ndechekuti mundipewo nguva yakakwana
yekuferefeta vanhu vaviri ava. Ndoda kuisa
ziso
kwavari vese uye ndinovimba kuti
ndichabuda
nechokwadi."Stacey akanyengerera VaDube.
"Zvakatonaka ,Stacey. Ndinovimba newe,"
shasha
yakapindura.
Vaizivei kuti vaitambwa zvemasokisi
akabooka.
Stacey akanga afunga kumira neni
pachokwadi.
Akazowonekana naVaDube ndokuuya
kwandiri.
"Pinda mumotokari tiende kumba," ndini
ndairehwa apa.
Takapinda mumotokari yaStacey ndiye hutu
kumba kwake.
~~~~~~~~~
Nyaya yaShirley yakamuka yakadzora
mwando
rimwe zuva. Ndakamuka rungwanani-
ngwanani
ndichinzwa nzara isingaite.
Ndakanyatsonzwa
kuti ndaitoda sadza chairo kwete zve
putukagadzike. Ndakabva ndangoudza
Shirley
ambondibikira kabvuwere(kasadza
kanobikirwa
baba mangwanani).
"Shirley. Chimbondibikirewo sadza shaa.
Ndiri
kunzwa nzara ini," ndakadaro zvangu
ndichishama ny'ai.
"Hmmm! Mukoma. Moda kudya sadza
mangwanani kudai. Hamuzvizive kuti
mukadya
sadza mangwanani rinonetesa
muviri?"Shirley
akadaro achiseka zvake.
Shirley akarongedza zvaidiwa pakubikisa
akafara
zvake semunhu akanga aneni nguva zhinji.
Hepano pakuvhura pfimbichando! Pakaada
kuti
atore nyama yaiva mupfimbichando
umu,moyo
wakabva mira , ndiye waaa kurutsa.
Ndakanga
ndichigeza mazino panguva iyi. Ndakanzwa
kukotsora pamwe ndikabva ndaziva kuti pane
chakanga chichitora nzvimbo.
Chiriporipotyo,
Ndakamhanya ndichienda kwaakanga ari
wanei
haikona kutaura.
" Ko chii nhai Shirley,"ndakabvunza uku
maoko
akabata muchiuno. Shirley haana kupindura.
"Ko uri kurwara here nhai Shirley? Taura
neni
kani!"ndini uyo.
"Handisi kurwara."
"Ko chii nhai?"ndakabvunza zvakare.
"Hwema huri mufiriji umu ndihwo hwamisa
moyo
wangu," Shirley akapindura ava kundotora
mvura , mutsvairo nechikorobho zvekubvisa
marutsi ake. Akatsvaira akapedza ndokubva
ndamuudza kuti arongedze tiende
kuchipatara.
Ndaizivei kuti paitova nenyaya yakasiya
nezvandaifunga?
Takapinda mumotokari yebasa
yandaishandisa
ndokunanga kuchipatara. Takasvika Shirley
ndokupinda kundoona chiremba.
Pasina nguva refu ,chiremba akauya
naShirley.
"Makorokoto! Mukadzi wenyu ava
nepamuviri
pane mavhiki mashanu."ndichiremba ava.
Hezvo! Ko Shirley akanga otonzi aiva
mukadzi
wangu nhai? Veduwee! Ndakapinda chando
chandakanga ndisati ndambonzwa. Pfungwa
dzakatanga kundinetsa panguva iyi. Ko
chandaiti
ndakabatsira mwana ndechipi? Ndakatora
mwana wekuzotambisa here veduwee? Saka
ndichaita sei? Izvi zvakandivhiringidza
kusvikira
pekupedzisira.
Handina zvakawanda zvandakazotaura.
Ndakatorana naShirley wangu ndokuenda
kumba.. . Takasvika ka kumba ndokubva
ndaisa
motokari mugaraji. Handina zvandakataura
kunaShirley. Ndakasvika ndokunanga kuimba
yekutandarira ndokugara pasofa. Shirley
akabva
auyawo ndokugara pandaiva ndokutanga
kutaura.
"Nhai mukoma, kubva manyarara zvakadai,
ko
chii? Hamuna kufarira kuti ndava
nepamuviri
penyu here?"Stacey akandibvunza.
"Shirley! Chii changafadza apa ini
ndakatarisana
nejere kudai? Hataifanira kutamba mutambo
watakaita uyu,"ndakapindura nenzwi rakati
kwirezvishoma. Chokwadi, kuita kwaShirley
kwakandikanga mate mumukanwa. Iye kana
kutombozvikendenga zvake.
"Munopinda mujere papi pacho?
REMEMBER
THAT I'M OVER 18 YEARS. I DON'T
WANNA
LEAVE YOU, MKOMA JACKSON. I LOVE
YOU
SO MUCH."
Ndakaramba ndakangomutarisa
ndakanyarara
ndine mibvunzo dzakawanda zvekuti kudai
ndakadzibudisa kwaari , aitoneta
nekupindura.
"Mukoma Jackie, handidi kutombokusiya
zvachose. Marry me pliz." Shirley akanga
achingotaura ini ndakangoti zii.
"Its okay. Let's leave it,"ndakadaro.
Ndakazotanga zvangu nyaya dzekubika sezvo
ndanga ndotya Shirley aizotanga zve zvaanga
amboita mangwanani. Chake aizogeza ndiro
chete.
Mukoma Jackson! Munogona kubika wena!
Chikafu chandinakira."Shirley akadaro.
Takazotandara ndokuenda kundorara
kukamuri
kwangu. Zvekuti uyu kwake uyo kwake
zvakanga
zvapera nechekare..
~~~~~~~~~~
Musi wandakaenda naStacey kumba kwake
takasvika ndokutanga nyaya dzekugeza.
Stacey
ndiye akatanga kugeza ndokupedza.
Paakapedza
,ini ndakabva ndaendawo kundogeza.
Chikafu
chemanheru chakabikwa ndokudya. Pese apa
ndanga ndakangonyarara zvangu semunhu
akanga ava munyaya. Stacey akazotanga
nyaya
yakaita kuti ndiuye kumba kwake musi uyu.
"Jackson. Ndati tichitanga kutaura
nezvenyaya
iya. Ndinokumbirisa kuti utaure chokwadi
maererano nenyaya yamanga muchitaura
naVaDube. Ukandivanzira inobva
yakuomera.
Taura chokwadi tione zvatingaite pachiri
pedyo
nokuti tikaenda nayo kure inobva yaipa
iyi,Stacey
akataura izvi
achiswedera.......................................
END OF CHAPTER 25.

CHAPTER 26.

"Jackson. Ndati tichitanga kutaura


nezvenyaya
iya. Ndinokumbirisa kuti utaure chokwadi
maererano nenyaya yamanga muchitaura
naVaNdlovu. Taura chokwadi tione
zvatingaita
pachiri pedyo kudai nokuti tikaenda nayo
kure
inobva yaipa iyi," Stacey akataura izvi
achiswedera pandaiva ndakagara.
Pakarepo ndakatanga kugaya kuti ndotaura
chokwadi here kana kuti ndingomuudza kuti
handaiziva zvaaitaura. Imwe pfungwa
yakangoti,'Jackson! Wava kuigochera pautsi
zvino. Ko ukataura chokwadi chacho, pane
paungapunyuka here sezvo mutemo uchiti
ukadziya moto wembavha newe uri mbavha.
Zvakare , mutemo unoti ukatumwa kuita
chakaipa
ibva waramba.' Imwewo pfungwa ikati Stacey
unomuziva nekugona basa, unofunga kuti
pane
paangakusiya here kana uine mhosva?
Ndakapedza nguva ndakanyarara
ndichifunga
zvekutaura.
"Jack, trust me, my dear," Stacey akadaro.
Pakarepo ndakatanga kumuudza nyaya
yacho.
"Unoona nyaya iri pano? Yakaoma iyi. Kana
ndichinge ndakuudza zvandichakuudza pano,
basa rechipurisa ndava kurega.
Ndichangofambawo nenyika ndozobatwawo
ndava mberi. Chikonzero nei ndichidaro.
Nyaya
iyi ineni mukati mayo nokudaro hapana
pandingaregwa vamwe vachipinda
mujere,"ndakadaro.
"Taura hako. Tozoona yekutamba,"ndiStacey
uyu.
"Kutanga ndinoti VaNdlovu vaunoona avo
mutungamiriri wechikwata chinonzi
LEOPARD
CLAW GANGSTERS..
Chikwata ichi ndakachiziviva mushure
mekunge
ndawanikidza mapepa aVaNdlovu
aitsanangura
nezvechikwata ichi. Pavakandiwanikidza
ndine
mapepa aya ,vakaronga kuda kundiuraya
ndokubva ndavakumbira ruregerero. Ivo
vakabva
vandiudza kuti handaifanira kufukura hapwa.
Hongu ini ndingakwanisa kutsanangura asi
nyaya zhinji iri pamapepa anotsanangura
nezvechikwata ichi. Mapepa aya anowanikwa
mumba mavaNdlovu mukamuri repasi..
Ndakazoomuudza zvese maereano
nechikwata asi
handina kumuudza nezvevanhu
vandakauraya.
Ndakanyatsoona kuti kwaiva kuzozviisa
pasingabudike."
"Zvakanaka. Iyi ndainzwa. Ko kuputika
kwebhazi
pane zvaunoziva nezvazvo here?"Stacey
akabvunza zvakare.
" Yekuputika kwebhazi ini handiizive sezvo
ndakakurumidza kudzika mubhazi.
"Ok. Saka toti vakauraya mai vemusikana
waunogara naye ndivo vakaputitsa bhazi
ka?"
Ndakambofunga zvishoma. Ndinoona kudaro.
Vanenge vanga votevera Shirley kuti
vamuuraye."
"Ko vanhu ava vangava nekudyidzana here
pakati nechikwata chawataura nezvacho cha
VaNdlovu?"Stacey akabvunza.
" Ipapo handichazivi,"ndakapindura.
"Tadii tambodzokera kuscrapyard kuya tiedze
kutsvaga humbowo. Pamwe tingawana
mapepa
kana zvinyorwa zvingatibatira ikoko"
"Nyaya yowotaura iyi tinozoigona here?
Tikabatwa parizvino iva ne chokwadi kuti
rufu
chete.. ,"Ndakadaro ndichiratidza
kubhowekana.
Kuona kwangu taifanira kutsvaga kudyidzana
kuripo pakati paBiggie naVaNdlovu. Ndiko
kuona
kwangu ini,"ndini uyo.
"Zvakanaka,Jackson. Ngatiite
saizvozvo...........
Ndine mamwe mashoko andinoda kukuudza,
shaa," akadaro Stacey achiratidza
kusuruwara.
"Ko chii ko?"
"Ndinenge ndava nenhumbu yako ini. Kubva
zvakatanga kurara tese, handina
kuzomboenda
kumwedzi," mwanasikana akataura.
"Une chokwadi here, Stacey?"ndakabvunza
ndakamutarisa ndichida kuona kuti
aizvitambira
sei.
"Serious! Shaa. Hameno kuti kuti todii?"
"Saka wanga wati tidii, dear?"
Ndakamubvunza
ndichida kunzwa pfungwa dzake.
"Wotondiroora, shaa. Mwana ndewako uyu."
"Zvakanaka. I love you so much. Don't
worry."ndakangobudisawo manzwi aya
ndisina
kudzeya. Ko ndaizodii idzo dzanga
dzandiwandira kudaro. Kumapurisa
Kumitisa Shirley
Kumitisa iyewo Stacey wacho..
Apa ndine mhuri..
Hiiii! Zvakaoma. Pana Stacey naShirley kana
vaizozivana pachavo kuti vakanga vatakura
nhumbu dzangu ,chii chaizoitika? SAKA
NDICHAITA SEI? pfungwa Dza kaita
chahwiriri
mumusoro ndichiedza kufunga zano rekuita..
Zvisinei, takazopinda mukamuri rekurara
ndokumbotamba zvedu ndokurara.
~~~~~~~~~~~
Biggie zvaakazobva pa scrapyard mushure
mekutirumisa nenyuchi akabva aenda kumba
kwake chaiko uko kwaisava kure
zvakanyanya.
Akasvika pamba pake ndokupinda mumba.
Akabva azarura gonhi rekamuri repasi
raivawo
mumba umu ndokugara. Biggie aizivikanwa
neumhondi asi zvakaitika patakauraya
vamwe
vake zvakamutyamadza kusvikira
pakuvhiringika
pfungwa.
Izvi zvazonyanya izvi! Ko mapurisa zvaava
kutambira pascrapyard apa ndinopasara
ipapa?
Ndini ndega ndasara, vamwe vese
vakaurayiwa.
Zvoreva kuti I'M THE NEXT AND LAST
PERSON TO KICK THE BUCKET? No! Its
too
early to die or go behind bars. Ndinotofanira
kufunga semurume. Izvo zvinhu izvi
zvakambotangira papi kukanganisika izvo
zvaiva
zvakanaka pakatanga? Hmmm! Yaa!
Ndaziva.
Kubva pakafa mukuru wedu uya VaTrevor
Msole,
zvinhu hazvina kuzombomira zvakanaka.
Zvoreva
takapanduka kubva muLEOPARD CLAWS
GANGSTERS tisati taziva kuti chikwata
chinotungamirirwa sei handiti? Hongu,
ndinoziva
kuti chikwata chedu ndimo machakabva asi
mutungamiriri wacho handimuzive ini.
Ndafunga
hangu kudzokera ikoko. Ndingafa
pachokwadi,"
Biggie aingopishana mupfungwa ari mumba
make imomo..
Akambogara akabata shaya achigaya.
Pakarepo
dzimwe pfungwa dzakabva dzamushanyira.
"Zvandasara ndega kudai, zvakadii kuti
ndidzokere kuchikwata cheLeopard Claws
Gangsters? Eish! Nhamba dzemukuru wacho
handidzizive ini. SAKA NDICHAITA SEI?
Haaah! Hmmmm! Regai nditarise mumapepa
emufaira VaTrevor Msole, zvimwe
ndingadziwana."
Mudhara Biggie akasimuka ndokuenda
pachikabhati chaigara mafaira emapepa
echikwata chake neakasiyiwa nemushakabvu
Trevor Msole ndokutanga kutsvaga.
Akamboona
mamwe aiva akanyorwa zvekutengwa
kwaiitwa
ma drugs zvisiri pamutemo
ndokumboverenga.
Apedza, akazoona raiva rakanyorwa
nhoroondo
nechikwata chavo. Raitsanangurawo
nezvekuparadzana kwakaita nechikwata cha
VaNdlovu.
"Yaa! Ndazoriona bepa racho! Captain Lewis
Ndlovu.....Vanoshanda paNorkem Park
Police
Station....... Ko mudhara uyu ndeupi?
......."
Akawana nhamba dzavaNdlovu
ndokudzinyora
mufoni yake. Akazodzosera mapepa
panzvimbo
yawo ndokugara pachigaro chake.
Akazofonera VaNdlovu achivaudza nezvekuti
aiva
nhengo yechikwata chemushakabvu Trevor
Msole. VaNdlovu vakamboramba
kuzvitambira
sezvo vaiti pamwe mitikitivha aiferefeta
nyaya.
VaNdlovu vakabva vaudza Biggie kuti
vasangane
pane imwe nzvimbo aine mapepa airatidza
kuti
aimboshanda ari pasi pavaTrevor Ncube.
Vapedza kutaura,akazodimbura hake runhare
rwake.
~~~~~~~~~~~~~.
Zvandakazorara kumba kwaStacey,
ndakatozopepuka zuva rabuda.
Munongozivawo
kuti pakarara murume nemukadzi panoti
netsei
kumuka. Kana kuri kumusha mukada
kuzvitevedza hamungarime chokwadi.
Takamuka ndokugeza miviri yedu. Tapedza,
Stacey akagadzirira chikafu ndokubva aisa
muimba yokudyira. Takandogara patafura
ndokutanga kudya chikafu.
"Hurongwa hwanhasi hwakamira sei nhai,
Stacey?"ndakabvunza ndichida kunzwa kuti
Stacey airongei nezvenyaya yedu.
"Ndafunga kuenda kukamba ndinoona
VaDube.
Ndichavaudza nyaya iripo but yekuti
wakauraya
handiitauri. Asi iwe wo wakakangaisa nekuti
wakabvuma kutumwa. Chiona nyaya paimire.
Chero neni ndiri kutopindwa nekutya kuti
nerimwe zuva mungatondiurayawo ka? Apa
ndatakura nhumbu yako. Hmmmmm!
Zvakaoma."
Stacey paaitaura izvi ndakapindwa
nekusvotwa
wena. Chakanga chava kundibhowa apa
inyaya
yekudzokoro zvinhu zvimwe chete zvo.
Ndakabva
ndangozviudza kuti kana Stacey akafunga
zvekuda kunditengesa ndaitofanira
kumuuraya
chete. Nyaya yekusungwa ndiyo yandairamba
zvachose. Ndakangonyarara zvangu sezvo
ndaifanira kutanga kuona pfungwa dzake.
"Zvotoita ndezvekuti iwe haunei nekuenda
kukamba nhasi. Ini ndichienda ikoko ndobva
ndaona VaDube ndichaona kuti vachazvitora
sei," Stacey akadaro.
"Zvakanaka. But chandinokuudza ndechekuti
munofanira kuchenjerera VaNdlovu. Chimwe
chinhu ndechekuti vakambondiudza kuti
vakaisa
zvimushina zvinotapa manzwi mumahofisi ese
epakamba. Nokudaro munofanira kuronga
nyaya
idzi muri panze kana kuti muri kudzimba
kwenyu
chaiko,"ndakaudza Stacey pfimbi iyi sezvo
ndaiziva kuti VaNdlovu vakasungwa ini
ndararamawo.
Asi ka, kusungwa kwavo kwaisava nyore
nekuti
pakanga pasina humbowo hwakakwana
panguva
iyi. Zvaitoda kutora mazuva kuti nyaya
inyatsoibva. Mukutora mazuva iwayo
zvaitodawo
kuti ndingwarire sezvo ndaizourayiwa nyaya
ikapusa.
Tapedza kutaura nezvenyaya iyi, takazobuda
mumba maStacy ndokubva akiya magonhi.
Takapinda mumotokari Stacey ndokutyaira
takananga kukamba.
"My darling! Usazorasike pakutaura handiti?
Kana tasvika kukamba ibva wakumbira
zororo
remazuva maviri kuna VaDube. Ini
ndichasara
ndichibika nyaya zvakanyatsonaka navo.
Usatya
hako,baba vemwana wangu," ndiStacey
aitaura
mashoko aya meso akatarisa mumugwagwa.
Hezvo! Ko aitova nechokwadi chekuti aiva
nepamuviri pangu nhai? Ko haazivi here kuti
ndine mhuri? Ko ndikasungwa aizoita sei?
Oh!
God! SAKA NDICHAITA SEI?
Ndakangoti,"Okay" ndichidavira zvaaitaura
ndokubva ndanyarara. Takasvika pakamba
ndokudzika mumotokari. Takabva
tangonanga
kuhofisi kwaVaDube ndokuwana vasiko.
Takagogodza ndokuona kuti makanga musina
munhu.
"Mangwanani akanaka, ma officers mese.
Ndine
urombo kuti nhasi VaDube havasi kukwanisa
kuuya kubasa. Ndatambira foni kubva
kumudzimai wavo. Hanzi VaDube
vakapfurwa
nepfuti nemunhu asina kuzivikanwa kuti aiva
ani.
Kutaura kudai hanzi kuchipatara mu
INTENSIVE
CARE UNIT."ndeumwe officer wechikadzi
uya
akamboonekwa naVaDube achizvibatsira
musi
uya wavaitsvaga kwatakanga taenda nako
patakapambwa nematsotsi..
Mapurisa ese achinzwa izvi akashama nazvo.
Zvakavanetsa mupfungwa kuti chii changa
chatora nzvimbo panaVaDube. Chero neni
ndakanzwa moyo wangu kurwadziwa
kusvikira
pakupedzisira chaiko.
Takatarisana ndokuona kuti pakati pedu
paishota
munhu mumwe chete tisingaverengi vaipinda
nightshift kana kuti ivo VaDube. Ko ndiani
aishayikwa wacho?.....
......... VaNdlovu.
Ko chii chainge chaitika zve?...... Zvakaitika
musi
wainge wapfuura, Stacey paanzwa hurukuro
yandakaita naVaNdlovu, Stacey paakazoenda
kundokurukura naVaDube nezvekuti aida
kupihwa nguva yekunyatsoongorora nyaya.
VaNdlovu vakanzwa hurukuro yakataurwa
nevaviri ava kuburukidza ne zvimushina
zvekutapa manzwi zvavakaisa mumahofisi ese
epakamba apa.
Patakangobuda tichienda kumba kwaStacey,
VaNdlovu vakasara vachidzeya kuti
vaizozvifambisa sei kuti nyaya iyi ipuse.
Vakambofunga zvekuda kutitevera
ndokuzoona
kuti mamwe mapurisa aizovafungira kuti
pane
zvavakanga voronga ndokuzotyora zvavo.
Pakauya mapurisa aishanda usiku, VaNdlovu
vakabva vakurumidza kuchaisa
ndokumhanyira
chisango chaiva nemiti yakati ndoo kusvibira.
Mugwagwa waienda kumba kwaVaDube
waipfuura nepachidondo ichocho. Vakasvika
ndokuviga motokari yavo ndokuvandira
VaDube
paiva nehuswa hurefu.
Vakanga vane pfuti muruoko rwavo.Vakati
gare
gare kwechinguvana ndokuona motokari
vhuu.
Vakakoka pfuti yavo zvakanyantsonaka.
VaDube
pavakada kuti vapfuure panzvimbo apa
vakazongonzwa ruzha rwepfuti ndiye dhodyo
pachifuva chaipo. Bara rakabaya
ndokudambura
tsinga inofambisa ropa rinobuda mumoyo
richienda kunhengo dzemuviri dzakasiyana
siyana. VaDube vakapera simba motokari
ndokubva yabuda mumugwagwa ichivhura
umwe
mugwagwa wemadiro aJojina. Yakasvikorova
muti ndiye tsvii ipapo.
Sylivia akatiwo achibva kubasa nemotokari
yakewo yaakatenga akapinda nepadondo
apa................................
END OF CHAPTER 26.
CHAPTER 27.

Sylvia akatiwo achibva kubasa nemotokari


yakewo yaakanga atenga pamavhiki maviri
akanga apfuura, akapfuura nepadondo
pakanga
pavandirwa VaDube naVaNdlovu. Achisvika
panzvimbo iyi akabva aona motokari
yakarovera
pamuti. Achiri kuedza kuda kutarisa kuti chii
chakanga chaitika, akanzwa pfuti kurira
ndokubva aziva kuti panzvimbo paaiva
pakanga
pasina kumira mushe..
"Maihwee! Ndofa wo ini!"Slyvia akadaidzira
apo
bara rakarova fasitera rekumashure
ndokupotsa
musoro waSylivia richibuda kurimwe fasitera
redivi rekurudyi. Akawedzera kutsika mafuta
motokari ndokubvuma.Akamhanyisa
motokari
ndokumira ava parobot. Pakabva pasvikawo
motokari yemapurisa ekuimwe kamba.
"Miraipo vanamukoma! Kwandabva uko
hakuna
kunaka!"ndiSylivia aidanidzira mapurisa.
"Ko Chiiko? Uyai pano mutiudze nyaya
yenyu,
vahanzvadzi!"akadaro mapurisa achimisa
padivi
pemugwagwa vachangopfuura zvishoma
pama
robots.
Stacey akazoenda kwavari.
Akavatsanangurira
zvose Zvaakanga aona.
" Tiperekedzewo kunzvimbo kwacho,"umwe
wemapurisa akadaro.
Sylivia akakumbira kusiya motokari yake
pane
umwe musha ndokupinda mumotokari
yemapurisa ndiye hutu kuenda kudondo kuye.
~~~~~~~~~
VaNdlovu pavakapfura VaDube , vakabva
vanyemwerera vachiti zvavo zvainge zvaita.
Vazviudza mupfungwa mavo kuti VaDube
havairarama nekuda kwekuparara kwakanga
kwaita motokari yavaifamba nayo.
"REST IN PEACE, THE HONOURABLE
VICE
STATION COMMANDER ,ELTON
DU....................," havana kuzopedzisa
zvavaitaura sezvo vakanga vanzwa kutinhira
kwemotokari yaiuya, inova ndiyo motokari
yaStacey.
"Oh! Son of a bitch!"mukuru akangotaura
asina
kuona kuti mutyairi wemotokari aiva
munhukadzi.
" Munhu uyu akangondiziva chete ,
ndatowira
pamoto,"VaNdlovu vakadaro vachigadzirira
pfuti
yavo. Vakabva varegedzera bara iro
rakazopfura
fasitera rekumashure richibva rapotsa gotsi
raSlyvia..
"Shit! Damn it! Ndapotsa mhani!
Nxaa!"shasha
yakadaro ichipotsera pfuti pasi nekushatirwa
nehasha.
"Regai ndikurumidze kubva pano! Nyaya iyi
ingatozoipa."
VaNdlovu vakamhanyira kumotokari yavo
ndokubva vaimutsa ndokurova pasi nekudivi
kwakabva nako Sylivia. Vakatora nzira
yekumba
kwavo ndokutsika mafuta kuti vakurumidze
kusvika. Hapana akakwanisa kuvaona
,nokudaro
vakanga vabudirira. Hameno kuti kuti
pakuongora kwaizoita mapurisa kwaizomira
sei.
Tichazonzwa zvizere mundima dzichatevera.
Sylivia nemapurisa vachisvika panzvimbo
apa
vakawana VaDube vabuda ropa rakawanda
sezvo
imwe yetsinga dzinoenda mumusoro yakanga
yakadamburwa. Vakanga vatyoka musana.
Mapurisa akabva afonera motokari inotakura
varwere ichibva yauya mushure memamitsi
makumi maviri. Yakauya pamwechete
nevanocheka simbi kana motokari ichinge
yapetana zvekusabudika. Vakacheka simbi
ndokuburitsa VaDube. Vanoziva
nezvekurarama
kwemunhu vakavaongorora ndokuona kuti
VaDube vaifema nechekare uye kwakanga
kwaneta. Hana yakanga yorova nechekure
zvakare sezvo ropa rakanga rava shoma..
VaDube vakazotakurwa ndokuendeswa
kuchipatara. Vakabva vangonzi vaende ku
I.C.U.
. Vakaiswa pa life support nepa oxygen
zvakare.
Vanachiremba vakavawedzera ropa
ndokubatanidza tsinga dzanga dzadambuka.
Vakabatanidza bhonzo rekumusana nezvese
zvaida kuitwa. Ndokumbosiyiwa vakadaro..
Shoko rakatosvika munzeve dzemapurisa
ataishanda nawo awa nenhare
yavakaroverwa
nemapurisa vakaenda pakanga paitikira
tsaona.
Zvakarwadza mapurisa Kazhinji sezvo
VaDube
vaishanda nesu zvakanaka pakamba pedu.
Chero
neni ndakarwadziwa kusvikira pamabhonzo
chaipo.
"Saka tadii kuenda kundovaona veduwee!
Izvi
zvinorwadza izvi. Ko ndiani akaita izvi?"
Idzi mibvunzo dzaibuda muchita chemapurisa
pachiridzwa tsamwa. Takazoronga kuenda
kundovaona kuPrivate Hospital kwavakaiswa
sezvo zvakanzi VaDube vaiva vapfurwa
nemuvengi nokudaro vaifanira kuenda
kuchipatara chakachengetedzwa. Mapurisa
aiva
nemotokari dzawo akangopinda mune dzavo,
ini
wo ndakanga ndisati ndatenga imwe kubva
paya
pandakapotswa nechimbambaira
ndinaShirley.
Ndakabva ndatora mudhudhudhu wangu
wandakanga ndasiya musi wandakabva
kumba
kwangu kupurazi.
"Makadii, Madzishe! Tisu mapurisa
epaNorkem
Park Police Station. Tauya kuzoonawo
mukuru
wedu uyo akaita tsaona nezuro
manheru."ndini
uyo ndichitaura nevarindi vepagedhe
pechipatara
ichi.
" Tinokukwazisai mose vakuru. Chiregai
tifonere
mutungamiriri anoona nezveikoko.
Hangopindwepindwe kwamuri kutaura
nezvako."ndeumwe wemagadhi akadaro.
Mutungamiriri airehwa nezvake wacho
akabva
afonerwa chimbi chimbi.
"Ndine urombo ,vakuru. Hanzi murwere
wamuri
kuda achakadzima. Hanzi ndikuudzei kuti
achiri
kubatsirwa kufema ne mushina. Achiri pama
drip
uye abva kuitwa operation achibviswa ropa
raiva
rakora mukati."ndigadhi uya aiva ataura
neaiona
nezveku ward kwaiva naVaDube.
" Zvakanakai. Tinokumbirawo kuti
muvachengetedze nekuti zviri pachena kuti
paita
muvengi wavo kunyanya mukati matiri isu
mapurisa epakamba patinoshandira. Ndati
ndizvitaure nekuti zvandirwadza."ndini
ndakadaro. Pakarepo Stacey nevamwewo
vakabva vatsinhirawo.
Ini naStacey takanga tava nefungidziro
yakasimba kuti vaiva VaNdlovu vakaita izvi
asi
zvaisaita kunanga munhu pasina humbowo
hwakakwana..
"Stacey wena. Chirega ndiende kumba
kwangu.
Wotoudza officer in charge kuti ndizvo
zviripo.
Isu ma detective agents tinoenda kana kubva
pakamba chero nguva sezvo tinenge
tichimhanya
nekuferefeta nyaya munzvimbo dzakasiyana
siyana."ndakadaro ndava kutomutsa
mudhudhudhu wangu.
" Iri bhoo, shaa. Toonana riini timbotsvaga
nyaya
idzi? Iyi yawakandiudza nezvayo tomboiisa
padivi sezvo munhu aida kuinzwa nezvayo
awirwa netsaona. Isu ngatiedze kushandisa
unyanzvi panyaya yanetsa iyi. Tarira kuti
tinofa
kana tikangoita zvemakanya."
"Zvakanaka. Rega nditsvage motokari itsva
isingazivikanwe uye ine mafasitera
matema.........
Ndichauya
tizonyatsoronga,"Ndakakurumidza
kusiya nyaya sezvo paiva paita umwe
murume
akanga asvika apa. Taizivei kuti akanga
atumwa
naVaNdlovu kuti anzwe kuti kana pari ipo
pakaendeswa VaDube. Takabva taparadzana,
ndokunanga kupurazi. Ndakapfuura
nepaEgin
Mall ndokupinda mu Pick n Pay Hypermarket
ndokutenga grocery pamwe ne keke
raindaida
kuvigirira Shirley se "surprise". Ndakaisa
grocery pa carrier ndiye hutu kuenda kumba.
Ndichisvika pamba ndakaona Shirley
akanditarisira nemaziso matsvuku chaiwo.
Maziso ake aitoratidza kuti akanga
achichema
panguva dzapfuura dzacho. Ndakati
ndichingogara pasofa , akauya kuzogara
pamakumbo angu. Ndakabva ndamubata
semwana mucheche chaiye. Ko ndakanga
ndichatyei? Akanga anditakurira mwana.
Ndipo
pandakatanga kumuda nemoyo wese.
Chaigarondinetsa ndechekuti iye Shirley
naStacey vaizozvitora sei pavaizozivana kuti
vese
vakatakura nhumbu dzangu..
Ndakaswera ndakagara zvangu ndichitamba
naShirley. Ko ndaizodii hangu ndapiwa rudo
rwepamusoro, mukanganwamhuri chaiwo.
Ndangariro dzemhuri yangu
dzaimbondishanyira
asi munongozivawo kuti munhu paanenge
atadza
anototsvaga zvikonzero zvinotsigira
zvaanenge
aita.
Ini ndaizviti ndiri panguva yekurwisa
muhondo
yejere yandaiva ndakakatarisana nayo. Ko
ndizvo
zvainditadzisa chero kufonerawo mukadzi
wangu
here. Ko vana vangu vainge vatadzei
kushaiwa
nezuva rimwe chete rekuenda kundovaona.
Dzimwe nguva varume tinomborwadzisa.
Hongu,
mari yakanga yakavawandira zvekuti
havairara
nenzara asika, mari haruzi rudo.
Ndaitadzawo kudzidza panaStacey here uyo
aiva
neimba, mari hobho yaakasiyirwa nevabereki
vake, iye aishandawo zvakare? Asi kubvira
musi
wandakamupa rudo haana
kuzombondikanganwa. Stacey hapana kana
chaimutengera asi aingoda rudo chete. Ko
mai
vemwana vakandibvisa mugota vaiva
vatadzeizve? Varume tisadaro. Dai uri we
murume uchitambwa yakadai nemukadzi
wako
wainzwa sei? Pakaipa.
~~~~~~~~~~~~~~
VaNdlovu zvakavazotiza vachibva kudondo
kuye
vakasvika pamba pavo ndokuisa motokari
mugaraji. Vakabva vangonana ku shower
kundogeza. Musi uyu havana kudya chikafu
nekuda nepfungwa uye kusagadzikana pane
zvakanga vaita. Vakazoerekana vava kutaura
vega.
"Vanhu ava vari kuda kundijairira. Zvino
ndiri
kuda kuvapedza umwe neumwe.
Vanombonyatsondiziva zvakanaka here vanhu
ava? Mirai muone, ndoda kuvatswanya
senda.
Hmmmmm! Asi munhu wandiri kuona kuti
ane
zodzoya yaMwari ndi Jackson. Ko mupfanha
uyu
akambomira sei chaizvo izvo? Muchinda uyu
ari
kundisvota kupfuura svoto.
Ndakanga ndafara paakatorwa nematsotsi
wanikwe aika! Adzoka munhu uya. Ok.
Ndoda
kumugadzirira saizi. Regai ndibate muchinda
asara ega uyu. Vanhu vakapandukira
chikwata
changu, kana voda kudzokera
ndinovagashira.
Ndoda kuti munhu iyeye apedzerane nembwa
iyi
inonzi Jackson..
Regai nditombofonera muchinda uyu kuti
kana
ari pedo nditaure naye titotasangana nhasi.
Toda
kuti tiite zvinhu zvedu
nechimbichimbi,"VaNdlovu
vaitaura vega semunhu aipenga. Vakatora
mbozhanhare yavo ndokutsvaga nhamba dza
Biggie. Vakadziwana ndokubva vamufonera.
"Eeh! Ndeipi! Wakasununguka here uuye
kuno,shamwari. Tine zvatiri kuda kuronga
nhasi."ndiVaNdlovu ava.
Mudhara Biggie akabva
apindura,"Ndakasununguka ini. Taurai
address
yepamunogara ndisvikeko izvezvi."
"83 Kannibos Street, Glen Marais Ext 2.
Ukafamba uri muna Old Pretoria Road
uchibva
muKempton Park uchao........,"VaNdlovu
vakadimburirwa zvavaitaura.
"Musanetseke zvenyu. Ndichashandisa
Navigator.
Ndinosvikako munguva pfupi iri
kutevera,"akadaro Mudhara Biggie..
"Zvakanaka. Ndokuona wouya."vakapedza
kutaura ndokudimbura foni.
Hezvo! VaNdlovu vaitovimba munhu
wavainge
vasati vamboona nhai? Ko kana vaiziva sei
kuti
aivawo tsotsi? Ko kana aiva mutikitivha
vaizoita
sei? Hongu vakanga vanzwa havo tsananguro
yavakanga vapiwa ndokugutsikana, asi ka
vaferefeti venyaya vanokwanisawo kutsvaga
zvakaita saizvozvo kusvikira wagutsikana.
Kudai taiziva kuti ndizvo zvavaiva, taidai
takatsvaga munhu weduwo tomuti
aimbovawo
muchikwata chapanduka asi aishandira
kuDurban tomuudzawo zvizere maererano
neLeopard Claws Gangsters. Handiti
ndainyatsoziva zvese? Taidai
takanyatsovabata
zvakachipa tichitungamidza Stacey pamberi.
Zvisinei, ngatinzwei zvakazoitika..
Mudhara Biggie zvaakadanwa naCaptain
Lewis
Ndlovu akabva angopinda mumotokari yake
ndokupinda munzira. Akamhanyisa motokari
zvekuti akasvika pamba paCaptain Ndlovu
mushure memanitsi makumi matatu nemasere
kunyangwe zvazvo migwagwa
dzemudhorobha
dzakazara ma robots kudaro. Akasvika
pagedhe
akabva azarurirwa ne remote transmitter
ndokupinda. Vakasvikomisa motokari
ndokunzi
vaende kune rimwe kamuri
raisangovhurwavhurwa.
"Tinokugamuchirai nemufaro wakawedzerwa.
Ko
zita ndimi ani?"ndi VaNdlovu ava.
"Ndinotenda zvikuru. Zita ndinoitwa Bigman
Gonzo. Vazhinji vandaishanda navo vainditi
Mudhara Biggie,"akapindura Mudhara
Biggie..
"Ndipeiwo mapepa anoratidza kuti maiva
nhengo
yechikwata cha VaTrevor Msole."
Bigman Gonzo(Mudhara Biggie) akabudisa
mapepa airatidza zvese maererano
nechikwata
chavo. Captain Ndlovu vakagutsikana
nemapepa
aya..
Nyaya iri pano ndeyekuti toda kuti
tibatsirane
kubata imwe nhengo yechikwata yanetsa. Zita
renhengo iyi ndiJackson Sithole. Muchinda
uyu
ndinoshanda naye muchipurisa pakamba
imwe
chete. Ndiye munhu andakatuma kundouraya
VaTrevor Msole. Pandakaona kuti agona
basa
ndakabva ndamutuma zvakare kuti auraye
Station
commander wepakamba patinoshandira
ipapo.
Akabudirira zvakare ndikamupa mubairo
mukuru
kwazvo.
Kubva ipapo, mapurisa atinoshanda nawo
akabva amupa basa rekuferefeta nyaya
dzacho
pamwe nemupurisa wechikadzi uyo
anozivikanwa
nebasa rekuferefeta nyaya dzakadai.
Vakamboshanda kwemazuva kusvikira nyaya
iya
yava kuratidza kuti iye akanga
ofungidzirwawo
pamwe nechimwe chisikana chakanga
chaurayirwa vabereki vacho."
VaNdlovu pavaipa rondedzero yavo iyi,
Biggie
akabva aziva kuti vanhu vairehwa apa vaiva
nhengo dzechikwata chake.
"Mumwe musi kwakazoonekwa motokari
yeSubaru iyo yaishandiswa nematsotsi aya.
Jackson nemapurisa maviri akaenda
panzvimbo...........................
END OF CHAPTER 27

CHAPTER 28.

"Mumwe musi kwakazoonekwa motokari


yeSubaru iyo yaishandiswa nematsotsi iwayo.
Jackson nemapurisa maviri vakaenda
kunzvimbo
kwaiva kwasiyirwa motokari ndokubva
vapambwa nematsotsi. Mupurisa mumwe
chete
ndiye akakwanisa kupona nepaburi retsono
ndokutiza. Ndiye akazotizivisa zvakanga
zvaitika,"ndivaNdlovu vaingunotsanangirira
Biggie.
Biggie akabva aziva kuti matsotsi aitaurwa
nezvawo apa ndi vanaBotaremwana avo
vaiva
nhengo dzechikwata chake. Haana kuda
kutaurira VaNdlovu nezvazvo.
Akambotyorera
nguva kuitira kuti VaNdlovu vapedze nyaya
yavo.
"Kupambwa kwakaitwa Jackson neumwe
mupurisa wechikadzi kwakakatyamadza
mapurisa
atinoshanda nawo. Pakapera mazuva ane
chitsama tisingangazivi kwavaiva kusvikira
mumwe musi watakazovaona vachisvika
pakamba. Vakanga vakapfeka marengenya
izvo
zvakaita tizive kuti kwavanga vabva kwaiva
kusina kunaka."
VaNdlovu vakazopedza tsananguro yavo yese
ndokubva Mudhara Biggie azovaudzawo kuti
chikwata chavo Ndicho chaiva chapamba ini
naShirley. Izvi zvakashamisa VaNdlovu sezvo
vakanyatsoona kuti ndaiva gamba chairo
raizvimirira uyewo kumirirwa naMwari kana
zvinhu zvaoma. Chakanyanya kuvasvota
ndechekunzwa kuti takanga tapunyuka kune
mhondi dzaizvitiwo hadzibviri. VaNdlovu
vakambonyarara vakati zii vachishushikana
kuti
sei ndaisabatika panguva yavanoda izvo kune
vanhu zvinovaitira nyore sezvakaita VaDube.
Vakakungura kuti kudai ndaiva ini
wavakapfura
pachinzvimbo cha VaDube.
"Saka muchinda wamuri kutaura nezvake uyu
akamboita sei chaizvo izvo? Muri kumutadza
kumuuraya ukuwo vamwe vangu
vakamutadza
vakatozofa ivo. Hmmmmm! Munhu uyu
akaoma
uyu. Shasha mbiri idzi dzakatanga kupinda
nekutya kusvika pakupererwa nezvekuita.
"Biggie ka! Tinofanira kutamba neungwaru
tibate
munhu uyu.Izvezvi ndapfura mukuru
wepakamba
pedu anonzi vaElton Dube avo vaida
kusimudza
musoro panyaya iyi. Panhau zvanzi
vaendeswa ku
Van Dyke Private Hospital asi handina
chokwadi
chizere pane zvataurwa. Ini ndanga ndafunga
kuti uendeko kundofereta unzwe kuti ndizvo
here.
Kana zviri izvo tobva tagara tichinzwa
nezvake
kuti anorarama here. Tinokwanisa
kundomupedzisa ikoko mukuru uyu.
Tikangomupotsa chete, pedu panobva
patiperera."
Vaviri vakazoronga kuti Biggie aizorara
pamba
paVaNdlovu musi uyu. Rechimangwana
racho
kwakaedza ndokubva Biggie ndokugadzirira
kuenda kwaakanga atumwa. Akasiya
motokari
yake ndokukwira taxi. Akasvika pachiteshi
chepedyo nepachipatara pairapiwa VaNdlovu
ndokuburuka.
Akafamba achiuya kugedhe kunova ndiko
kwataiva panguva iyi. Paakazosvika pedyo
nepatiri ndipo patakazosiya nyaya
dzataironga
naStacey sezvo nyaya yedu hayaiita kutaura
pane
vanhu. Taizivei kuti muvengi wedu akanga
asvika.
Biggie zvaakationawo akaona zviso zvedu
kuti
zvaisava zvitsva kwaari. Patakazobva apa,
iye
akasara achiedza kufunga
kuti akationa kupi.
"Ko murume nemukadzi avo ndakambovaona
kupi? Hmmmmm! Ndakanganwa ini...........
Ainge achatizvivirepi musi uyu taiva
takachena
nekusimba zvakare. Musi waationa kwe
kutanga
ndepaya patakabuda pascrapyard iye
achipindawo nemotokari. Taiva
nemarengenya,
bvudzi rakati nyangara, ndebvu dzangu
dzaiva
dzareba nekusagerwa uye taiva taonda
nekushaiwa chikafu. Zvaakazotiona
paHospital
apa taiva tachinja..
Zvisinei, akazorasa hake pfungwa idzi
ndokuenda
paiva ne murindi wepagedhe. Akabva
angotanga
kutaura naye.
"Makadii, Officer," ndiMudhara Biggie ava.
"Tiripo makadii wo?"
"Tinosimba chose. Tokubatsirai nei,
Changamire
wangu?"gadhi uya akabvunza.
"Ndauya kuzoona sekuru vangu vakaita
nemotokari nezuro manheru. Ndanzwa kuti
vakauyiswa pano saka hameno kuti ndizvo
here."
Mhinduro yakapiwa naMudhara Biggie iyi
yakaita kuti gadhi anyumwe. Haana kuda
kumhanya, akapfavira ngoma zvake
ndokubvunza
zvakare.
"Vanonzi ani sekuru venyu?" gadhi
akabvunza.
Yoo! Paita mahwani apa. Biggie
akakanganwa
zita ravaDube. Akanonoka kupa mhinduro
panguva iyi. Izvi zvakaita kuti gadhi
afungidzire
zvakaipa paari.
"Vanonzi Elias Dube mupurisa."
"Haa. Vakuru! Hahahaha! Tamboti
vanoshanda
basa rei here isu?" Tati ndiani zita ravo chete
isu.
"Elias Dube."
"Elias Dube?"gadhi akadaro achitarisa
mafaira
raiva nemazita evarapwa vese vari
muchitapara.
"Hatina munhu wakadaro muno. Chero
zvazvo
kudai magona zita hataikubvumudzai.
Mazouya
mega sei? Ko vamwe vehukama vari kupi?
Madii
kuuya nevamwe vachangobva pano izvozvi?"
akadaro.
Nhema zvadzinoita ,veduwee. Hanzi Elias
Dube
pane kuti Elton Dube.
"Ndisekuru vangu zvechokwadi."
Gadhi akabva ati,"Regai tinofonere mapurisa
mugobvunzana zvakanaka."
Biggie achinzwa mashoko aya , Akapinda
nekutya
ndokubva ati,"Chiregai ndizouya nehama
dzacho."
"Chimbomirai zvishoma ndimbonzwa
vanachiremba kuti vanoti kudii." gadhi
akadaro.
Akanga agaya zano rekutora mufananidzo
waBiggie. Gadhi akatora foni yake ndokutora
mufananidzo waBiggie. Biggie wacho kana
kumboona zvaitika. Hahahaha! Zvakaoma.
Gadhi
uya akazofona zve nhema ndokuzouya kuna
Biggie.
"Eh! Vakuru, hanzi hanzi munhu wamuri
kutsvaga haapo pano. Edzai kutsvaga kune
zvimwe zvipatara,"akadaro gadhi.
Mudhara Biggie akazowoneka ndokuenda
kumba
kwa VaNdlovu.
~~~~~~~~~~~~
"Doctor! Mhanyai kuno! Huyai muone zvoita
baba vaya!"uyu ndimukoti adaidza chiremba
airapa VaDube.
VaDube vakanga vapedza mazuva mana
pasina
chiratidzo chekuti vaiva mupenyu.
Vaingoonekwa
nemushina chete kuti munhu ari kurarama.
Kutema chaiko vaitafema ne mushina. Hana
ndiyo yairovera kure kure. Vakanga vaitwa
operation kaviri kese. Mukoti zvaakadaidza
chiremba , akanga aona VaDube votanga
kuvhura maziso zvishoma.. . Chiremba
akamhanya kuti andoona zvaaidaidzirwa.
Akasvika ndokuona VaDube vavhura maziso
zvishoma asi vaisabwaira.Akazovabaira
injection
yekuti varare zvavo.
Mangwana acho, panguva dzevarwere, Amai
Dube vakabva vasvika. Vakasvika pagedhe
ndotaura negadhi uya vakanzi vabudise
chitupa
wanei mutupo waiva umwechete sezvo vaiva
vakachata. Gadhi akafonera chiremba
ndokuudzwa kuti Amai Dube vamboti mirei
zvishoma chiremba ambotanga aona kuti
zvaikodzera here kuti VaDube vaonekwe
nevehukama.
Munoziva here kuti kana munhu achirarama
nevanhu zvakanaka, kana uchinge wawirwa
nenjodzi, kudemba kunoita vanhu ndiko
kunokuraramisa? Kana uchirarama nevanhu
zvakaipa, kuchemachema kunenge kuchiita
vanhu
pazvakaipa zvawaivaitira kana kuti
zvaunovaitira, kuvhara makomborero edenga
uye
zvinokupa munyama.
VaDube vakararamiswa nekuda kwekugara
nekushanda nevamwe zvakanaka. Zuva
rakauya
mukadzi wavo kuchipatara , VaDube vakanga
vava nani chaizvo. Hongu vaisakwanisa
kumuka
asi vakanga vava kuona nekuziva kuti ichi
chii
uye kuti uyu munhu ndiani.
Zvakatovavhiringidza
pfungwa kuona vari muchipatara uye kuti
Pakapinda sei imomo. Vakazoyeuka
zvakaitika
kudondo kuya ndokutanga kubatanidza nyaya
yese. Vachiri PA kufunga kudaro ndipo
pavakazoona mukadzi wavo achisvika..
"Nhai Mbizi. Makawanana nei
veduwee?"Amai
Dube vakadaro vava kutanga kuchema.
"Vakadzi so? Muri kuchema chii murume
wenyu
ararama kudai? Batai hana yenyu. Ko kudai
akafa maizoenda nepi? Tendai Mwari nekuti
chimiro chavaiva hataifunga kuti
vanorarama,"akadaro mukoti aishanda
nachiremba airapa VaDube.
"Chiremba, nemi munoti, ndinotenda zvikuru
nebasa ramuri kubata iri. Kudai Mwari
vakukomborerai zvakapetwa runomwe
chairwo.
Zvandanga ndatova shirikadzi isina muriritiri
nhai vehama. Muvengi uyu zvaanga
andicheka
nerakagomara chokwadi,"Amai Dube
vakanga
vongodemba pamwe nekutenda varapi ava
pabasa guru raibata.
"Tendai Mwari, Mhaiyo! Ndivo vane simba
nekutipa njere. Pasina ivo hapana
chatingagona.
Jehovah ndiye murapi mukuru pasi
nekudenga,"ndiChiremba vaitaura mashoko
aya.
Vazoenderera mberi vachiti,"chinotodiwa
ndechekuti tichengetedze baba ava nekuti
muvengi angauya akauraya murume wenyu.
Chandiri kuona ndechekuti zvingava
zvakanaka
kuti muende kumapurisa mundopira nyaya iyi
mupihwe mapurisa matanhatu vachatibatsira
kuchengetedza murume wenyu. Vatatu
vachashanda masikati ,vamwe vatatu
vachishandawo manheru. Pavatatu ivavo
vanenge vari pashift, vaviri vachabatsira
gadhi
pagedhe achiita access control, umwe
achagarira
mu ward muno. Ndizvo zvinosiitwa panyaya
dzakadai. Tikasadaro havangararami,"ndi
Chiremba aitaura mashoko aya.
Vakazopedza kuronga zvese zvaidiwa, mai
Dube
ndokumhanya kukamba kwataishanda
kundopira
nyaya yakanga yarehwa na chiremba..
Musi wakauya Amai Dube kuzotaura nyaya
yekuti
VaDube vachengetedzwe , ndakamuka
mangwanani ndokupinda mu shower
kundogeza.
Ndichipedza ndakawana Shirley apedza
kugadzira putugadzike. Ndakadya kudya
kwemangwanani ndokutora mudhudhudhu
ndokunanga kukamba sezvo ndaida
kundosangana vamwe tione kuronga
yekundoona
VaDube kuchipatara. Ndakawana Stacey
asati
asvika. Amwe mapurisa akanga asvika
nenguva
yakatarwa. Zvaiva nesu ,ini naStacey nekuti
taienda kukamba patadira sezvo tainzi tiri
kuferefeta nyaya. Ndakasvikomisa
mudhudhudhu
wangu ndokubva ndaenda kuhofisi
kwandaishandira na Stacey. Ndichingoti
garei
zvishoma , Stacey akabva asvikawo
nemotokari
yake. Akapaka motokari ndokuuya kuhofisi.
"Hesi mudiwa, Jackson? Ko watosvika?"
Stacey
akadaro achigara pachigaro pedo neni.
Takabva
tatsvodana zvedu kwechinguvana ndokubva
tamira zvekutsvodana. Taizivei kuti zvataiita
izvi
taionekwa neumwe mupurisa uyo akanga
atumwa
kuzotidaidza. Taidiwa ku charge office uko
kwaiva na officer-in-charge VaMike Mugoni.
VaMugoni ndivo vaiita mabasa ese aiitwa
naVaDube kana vasipo..
"Pamusoroi, maDetective Agents. Muri
kudiwa
naVaMugoni kucharge office,"akadaro
mupurisa
wechikadzi uyo aidzidzira basa.
Stacey akaratidza kushamisika ndokutanga
kunyara-nyara sezvo akatoziva kuti mupurisa
uyu
akanga ationa tichitsvodana. Ini hangu
semunhurume,ndakabva ndaita sendakanga
ndakabatika nezvandiita nemapepa aiva
mufaira(file).
" Zvakanaka. Tiri kuuya,"ndakapindura
ndatoona
kuti Stacey haachazvigona nenyadzi.
Mupurisa
akabuda isu ndokubva tateverawo. Tasvika
ndokupinda mu charge office.Takasvikotyora
muzura wechipurisa ndokubva tagara
pazvigaro.
Takatarisa mapurisa ese aiva umu ndokuona
kuti
mapurisa mazhinji aivamo kunze kwaipinda
usiku. Patakati ticheuke kutarisa kumashure
ndokuona ,Hezvo!...........................................
END OF CHAPTER 28

CHAPTER 29.

Zvatakazopinda mu Charge Office muya,


ndokugara pazvigaro zvedu. Mapurisa ese
aivamo imomo kunze kwevaipinda pazvijana
zvavo munguva dzemanheru.
Patakati ticheuke tichitarisa kumashure
ndokuona.... Hezvo! Zvaari mashura! Munhu
uyu
aiva asinganyari chokwadi. VaNdlovu
vakagara
zvavo pachigaro chekumashure
kwekupedzisira.
Izvi zvakashamisa mapurisa akawanda asi
paisava nechekutaura kana kubvunza.
Takati tagara muhofisi umu, takanga
takanyarara
kuti zii semakwari aona gondo. Idzo nzeve
dzakabva dzichiti kwangwa sedzava Magen'a.
Chero paiva neayipfuura pedyo nehofisi iyi
haaimboziva kuti mune vanhu.
VaMugoni vakanga vachinyora muchidimbu
zvinhu zvavaida kuzotaura kwatiri. Vakati
vapedza, vakasimuka ndokutanga kutaura.
"Mangwanani akanaka kwamuri mose,
maOfficers."
Takabva tabvumira pamwechete
tichivakwazisa
ndokubva vasimudzira zvavaida kutaura.
"Eee! Ndinovimba kuti tinoziva nyaya
yataunganira tese pano.. Pane vasiri kuiziva
here tibve taitanga kutaura kubva
pekutanga?"
Takakatanga kuringa-ringa mativi ose kuti
tione
kana paine vasimudza maoko avo. Mukuita
izvi,
maziso emapurisa akabva ati jii pana
VaNdlovu. Ko Vaivatarisireizve ivo vasina
kana
kumbosimudza ruoko? Mapurisa tese taiva
umu
takashamisika kuti sei VaNdlovu vasina
kusimudza ruoko ivo vaisaziva zvakaitika.
Chero
ivo pavaiva vakabva vaona kuti takanga tava
nemibvunzo yakawanda pamusoro pavo.
VaMugoni vakabva vaenderera mberi
kunyangwe
zvazvo vakaona kuti paiva nenyaya.
"Zero! Zvinoreva kuti tese tinoziva zvatisvitsa
pano, handiti? Chiregai tiende mberi
nezvatinoda
kuita semapurisa anoziva zvaanoita."
"VaDube vari kuchipatara parizvino.
Tinozviziva
tese, nhai ka?"
"Hongu,"takapindura.
"Right. Kune vakaenda kundoona VaDube,
makakwanisa kuvaona here?"
"Hatina.".
"Ndanzwa kuti zvamakaendako zviya, pane
akazoendawo ari ega imi muchangobvako
ndokurambirwa sezvo aifungidzira kuti
itsotsi.
Hanzi munhu iyeye akatoresva kudoma zita
ravaDube. Izvi zviri pachena kuti VaDube
vane
muvengi kana kuti vavengi. Saka isu
semapurisa,
tinofanira kuchenjerera tirege kukundwa
nevavengi ivava. Kana tichiona kuti tiri
kuvatadza, zviri nani kuti tiraurire
hutungamiriri
hwe District vatibatsire nekuti nyaya iyi haisi
yekutamba chiramu , aiwa! Izvo hazviite.
Kana
kuri kufa ngatife tichirwisa mhandu. Taona
zvakakodzera kuti tiite madzoro
ekuchengetedza
mukuru uyu arege kuuraiwa nematsotsi aya.
Zviri
kunzwika here?"
Tese takapindura kunze kwa VaNdlovu
vaipindurira mumhino semunhu ari
kugunun'una.
"Ngatichibatsirana kusarudza
vachandochengetedza kuchipatara tione.
Domai
tinzwe!,vakadaro VaMugoni.
Takatanga kuzevezerana tichibvunzana.
Umwe
mupurisa aiva akazhangandira akasimudza
ruoko
kunaVaMugoni kutaridza kuti pane zvaaida
kutaura. VaMugoni vakabva vati ataure.
"Ehe! Mhofu. Unoti kudii?"ndi VaMugoni
ava.
"pama Officers achandoshandira
kuchipatara
iwayo wekutanga ndivaNdlovu."akadaro
Constable Mhofu achiratidza kuva
nechokwadi
nezvaaitaura.
Takabva tati bvuu kuseka zvandisina
kunzwisisa
kuti setswa idzi dzakanga dzabva nepi.
Hongu.
VaNdlovu vaiva mukuru kwatiri asi
takaratidza
kuvadherera. Ini ndaingoseka ndakatarisa
divi
zvangu. Setswa idzi hadzina kukurumidza
kupera
zvekuti mapurisa akanga ava kuita
seanopenga.
Ivo VaNdlovu vakashaya zvekuita chokwadi.
Vakada kuti Vaita sevanosekawo asi
Munongozivawo kuti setswa hadzisi
dzepamuromo chete moyo wakasviba.
Ungaedza
hako kunyengedza vamwe asi unotobatika
chete
kuti izino irema.
VaMugoni vakaninira maoko vachiti
tichimira
kuseka tienderere mberi neurongwa hwedu.
" VaMhofu mava kutuma munhu mukuru
Kundoita basa here. Madii kudoma
vamwe?"VaMugoni vakadaro vachiedza
kuvhara
nyaya. Ivo VaNdlovu vacho rambei vari zii
zvavo.
Moyo wakanga wakasviba kuti tsvaa sepasi
pepoto inobikira pamoto wehuni.
"Wekutanga ndimi VaMhofu, imi muri
kudoma
munhu mukuru. Vamwe zve?"
Umwe akasimudza ruoko. Akabva anzi
utaure.
"Constable Jackson vanoita apa,"ndevamwe
constable vechikadzi vakataura mashoko aya.
Ini
ndakangovatarisa neziso repakona ndokubva
vati
kwandiri,"Chero mukanditarisa neziso
rakasara
panzara asi chokwadi ndechekuti
munokodzera
kundoshandira kuclinic."
Ndakabva ndaseka zvangu ndokutarisa divi.
Constable Jackson havangakodzeri apa
nokuti
ndivo vari kuferefeta nyaya iyi. Muchidimbu
tinoti Cst Sithole na Cst Sibanda (Stacey)
havaite
kushandira kuchipatara. Tava kuisa iwe
ipapo."
Kusarudzwa kwemapurisa aizochengetedza
VaDube kwakaitwa musangano uchibva
wapera.
Mazita emapurisa akasarudzwa acho
ndiOswald
Mhofu, Okuhle Sibaya, Xolani Khumalo,
Monica
Mlambo , Margaret Moyo na Kim Dlamini.
Kwaizoshanda mapurisa maviri, wechirume
newechikadzi, vane pfuti pachijana chimwe
chete(shift).
Takazobuda muhofisi umu ndokuenda
kuhofisi
kwedu kundoronga zvataizoita.
Ndakazokurumidza kufunga kuti hataifanira
kuita
hurongwa hwedu tiri muhofisi nokuti ndaiziva
kuti VaNdlovu vakanga vakaisa zvimushina
zvinotapa manzwi mumahofisi ese asi
hazvaionekwa kana kuzivikanwa nevamwe
vese
kunze kwangu.
Ini ndaisaziva pazvaiva zvakaiswa asi
ndaitoziva
kuti zvaivamo chete. Ndiko kusaka ndakanga
muvengi mukuru waVaNdlovu nekuti ndaiziva
chitsotsi chese chavaiita. Ndakazobuda
muhofisi
naStacey ndokuenda kumba kwaStacey kuti
tironge zvaitafanira kuita. Takapinda
mumotokari
yaStacey ndiye hutu takananga kumba kwake.
~~~~~~~~~~~
Mudhara Biggie zvaakazobva pachipatara
arambidzwa kupinda mukati, akafamba
achibanha tumatombo twaiva munzira
nrkubhowekana achienda kuchiteshi chema
taxi.
Pfungwa dzake dzakanga dzongozvishayira
pazvo kuti iye naVaNdlovu voita zvipi kuti
zvaida
zvibudirire. Akakwira taxi ndokuenda kumba
kwa
VaNdlovu. Akasvika ndokuwana
vakamumirira
muimba yekutandarira. Akagara pasofa chiso
chichiratidza kusuruvara.
"E-e! Madzoko. Ko mafamba zvakanaka here
vaGonzo?"ndivaNdlovu ava vaikwazisa
mudhara
Biggie.
"Tadzoka. Zvaani ko nhai imi.
Ijandukuzhandu
kutsenga kwe une mavende! Zvakaoma.
Ndafambira nyanga dzedhongi ,chokwadi."
Biggie akadaro achikurura bhachi raaiva
akapfeka.
"Ko hindawa?"
"Aaaa. Ndadzoswa ndichiri pagedhe asi
mataurire aiita gadhi wepagedhe airatidza
kumunhu watinoda ndipo paari. Manje isu
vana
Mudhara Biggie taitoda kuita action
choppaz!
Hatidi zvekusweroita setiri kubika mazondo."
VaNdlovu vakatarisa mumwe wavo
aizvitutumadza ndokuzoti,"Hapasi pese
panoda
choppaz yamuri kutaura iyo. Tarirai kuti
zvapusa.
Chinodiwa ndechekutamba ngoma iri kurira.
Chataida kunyatsonzwa kuti vari pachipatara
chipi tozoita plan. Ini ndichaenda kubasa
mangwana ndinzwe zviri kurongwa nevamwe.
Ndiko zvakare kwatingawana chokwadi
chakazara kuti vari kupi sezvo wati pane
mapurisa aenda kundovaona nhasi. Kana
ndikanzwa zviri chiri chokwadi, Dube
anofanira
kufa chete. Tichaedza kutsvaga vangu vane
hama
dziri mukati kuti vatibatsire basa redu"
Vakazotaura dzimwe nyaya , Biggie
ndokuzoenda
kumba kwake.
Musi wakatevera wacho, VaNdlovu vakamuka
mangwana ndokuita gadziriro yavo kuti
vaende
kubasa. Vakapedza ndokubva vapinda
munzira.
Vakasvika zvakanakanaka ndokuisa motokari
yavo pacarport yavo. Vakaenda kuhofisi
kwavo
vasina kana kumbokwazisawo vamwe.
Vakazodeedzwawo pamwechete nesu kuti
tiende
kumusangano wekutsvaga
vachandochengetedza
VaDube kuchipatara.
~~~~~~~~~~~
Kubuda kwakaita VaNdlovu mumusangano
umu
vakangonananga kuhofisi kwavo
ndokuzvivharira
imomo. Chavakanga voda chete ndechekuti
nguva yekuchaisa ikwane vawane kuronga
zvekuita sezvo vakanga vava kuziva kuti
VaDube
vari pachipatara chipi..
"Yaa. Ndaimbozviti ndiri Chimedzamatehwe
asi
rwendo rwuno zviri kuuya nepamwe. Zvariri
dehwe remhuru riri kunditsvata iri? Ko chii?
Ndaizvienzani nemokororo emhando
yepamusoro
mhani! Come on, Lewis Ndlovu! Haa.
Jackson
Sithole kasvava aka ndiko koda kundishaisa
mufaro here nhai? Kudai ndakakauraya
kare ,
nyaya yaidai yakatopera.
SAKA NDICHAITA SEI kuti nyaya iyi
idzokere
munzira kwayo? Ndodyiwa here nengwena
ini
ndiri paruware? Jackson anofanira kudiwa
nengwena nokuti ndiye atori mumvura manje.
Ndiye aiuraya vanhu asi zvakamunakira
wena.
Hmmmmm! Jackson anenge ane mushonga.
Dzava nyatwa ngani dzaapunyuka? Pega
pega
panopunyuka ndinobva ndaita sendiri
kusungwa
mbabvu neshato. Chasara ndechekuti
ndimedzwe
chete. Aiwa! Kufa kwemurume kubuda ura.
Zvinhu zviedzwa, inga vakazvitaura wani
vakuru?"ava ndivaNdlovu vaipishana
nepfungwa
vari muhofisi mavo.
Mhanza yaiita seichabuda ropa
nekukwenywa.
Idzo tsamwa dzakanga dzisiri dze nhamo.
Shaya
kudai dzaitaura musi uyu dzaidai
dzakavaudza
kuti mudhara watinyanyira..
Nguva dzekuchaisa dzakazokwana
ndokuenda
kumba kwavo. Vakasvika Biggie atovako
sekurangana kwavakaita pazuva rakanga
rapfuura.
"VaGonzo, kuchipatara kuya kwamakaenda
ndiko
chaiko kuna Dube. Kwarongwa yekuti kuite
mapurisa achandomuchengetedza
kuchipatara
ikoko. Hameno kuti todii shamwari? Mukuru
tikatomutadza chete tinoumburuka
padurunhuru
semadhongi. Kubvurwa sembeva chaiko,"
VaNdlovu vaitaura vachirova pabvi ravo
regumbo rekuruboshwe izvo zvairatidza kuti
vaiva nechokwadi nezvavaitaura.
Vakazviudza
kuti havaifanira kuputsa pfuko yemahewu ipo
pasina upfu hwekubikisa sadza kana kuti
usavi
hwekudya nesadza racho.
"SAKA TICHAITA SEI kuti zvitifambire
mushe?"akadaro biggie achikwenya dama iro
raiva tumapundu twaivava tunobuda kana
wakapera ndebvu nechisvo (razor blade).
"Tinofanira kuti tiedze kuronga dhiri
nemapurisa
asarudzwa iwayo tiwane mukana wekupinda
mukati. Tinokwanisa kuvapa chikafu chine
mushonga zvakare kana yekupinda mukati
ikasabudirira."ndivaNdlovu vakadaro.
Mudhara Biggie akamboramba akanyarara
achidzeya zvainge zvataurwa neumwe wake
ndokuzoti,"Iyo inoita chaizvo asi ivai
nechokwadi
chekuti munovimba nevanhu ivavo.
Mukasadaro
tingatambiswa chemutengere
mujecha,"madhara
aya zvainge zvavakunda pachokwadi.
"Regai ndione zvekuita.,"ndivaNdlovu ava.
~~~~~~~~~~~~
Stacey ,my dear. Unoiona sei nyaya iyi? Zviri
pachena ka kuti VaNdlovu vari munyaya iyi,
toita
sei?" ndakadaro tiri mumotokari tichienda
kumba
kwaStacey.
"Hongu, zviri pachena asi mubvunzo wangu
unoti, une humbowo hwakakwana here
hwaunozopa mutongi wedare?" Stacey
akadaro.
"Ipapo wataura. Ngatimbomira hedu
zvishoma
kuti nyaya inyatsoibva."ndakadaro ndokubva
ndanyarara zvangu. Takasvika kumba
kwaStacey
ndokubva tageza miviri yedu. Stacey akabika
chikafu ndokudya. Takazotandara zvishoma
ndokuenda kundorara.
Kupurazi uko Shirley zvakanga zvomunetsa
kuti
sei...................................
END OF CHAPTER 29.

CHAPTER 30

Kupurazi uko, Shirley zvakanga zvomunetsa


kuti
sei ndakanga ndisingauye kuzorara pamwe
mazuva. Pamuviri pakanga pachikura
zvakanakanaka uye panguva idzo akanga
onzwa
kundida kuti ndive pedo achiwana zvaanoda
panguva iyoyo.
"Masvomhu ava kutambwa naMukoma
handichamaoni mushe ini. Mamwe mazuva
havasi kurara pamba, vanenge vachimborara
kupi ko nhai? Hongu, ndinoziva hangu kuti
vari
kubatika nebasa asi zvimwe zvinozonyanya.
Varume havapembedzwe ava. Unopembedza
n'anga neichabata mai. Panofanira
kuongororwa
apa. Hmm! Asi nesuwo madzimai
tinomhanya.
Zera rina Mukoma Jackson iri , havana
mhuri
ivava? Asi hapana pandakambonzwa
vachifonerana nemumwe mukadzi mhani
kunze
kwe uya mupurisa wavanoshanda naye. Kana
zvichizonzi vaita mumwe mukadzi,
ndinofungira
iye chete. Vakatombobatwa vakasungwa vese
wani? Ko iye mupurisa uye haana murume
here?
SAKA NDICHAITA SEI kana ndikaziva kuti
mukoma Jackson vane mumwe mukadzi?
Hmmm!
Zvakaoma........ Zvisinei , zviuya zviri mberi.
Ndomirira musi wazvichauya."
Shirley aingopishana nepfungwa idzi
akagara
pamubhedha mukamuri matairara. Aiti
akatarisa
pa mufananidzo wangu waiva mukamuri
umu.
Ainzwa kundida zvekuenda mberi.
Akambopedza
chinguva achifunga ndokupindwa nepfungwa
yekundifonera. Regai nditsanangure
kwandaivawo panguva iyi.
Zvatakabva pakamba naStacey musi
wakaitwa
musangano wekusarudza vaizorinda VaDube
kuchipatara, takaenda kumba kwaStacey.
Takasvika pamba ndokubva ndaburuka ,
Stacey
ndokuisa motokari yake mugaraji. Akavhura
pamusiwo ndokubva tapinda mumba. Ini
ndakangonanga kusofa ndokugara zvangu
ndichitura befu.
"Iiih! Nhai mudiwa! Waneta nei kuzotura
zibefu
rinovhundusa nemakonzo kudaro? Mukati
mutambo unonyatsotambika nhasi? Heeede!
Bu
bu bu! Haiwaiwaaaa!," akadaro Stacey
achiratidza kushamisika nezvandakaita
panguva
iyi. Ini ndakabva ndaita sendisina basa
nezvaaitaura ndokubva ndati " Ndiri kunzwa
kutsva, nhai mudiwa. Ndipewo sipo netauro
ndipinde mu shower ndimbogeza. Tozotaura
zvakawanda kana ndapedza."
"Kupisa ndiko kungaita kuti udaro here?
Taura
nyaya yako tinzwe," ndiStacey uyu.
Ndakangonyarara zvangu ndokuburitsa foni
yangu muhomwe ndokuita sendaiva nezvaida
kutarisa mairi.
Akazondipa sipo netauro ndokuenda
kundogeza.
Pandakati ndichitanga kugeza ndakazonzwa
musuwo, bheu.
"Hee! Ndiani?"ndakadaro apa musoro
nekumeso
kwangu kwakanga kwakazara furo resipo.
Ndakada kuti ndivhure meso ndokubva
ndatosvorwa.
" Ndiani ndiani weyi? Hmmm! Mutikwanire
apa!
Pangaita ani pano kunze kwangu? Hezvo!
Ndakashaya neremuromo panguva iyi.
Ndakavhura ziso rimwe ndichiita zviya
zvinoita
munhu ari kutya kutosvorwa wanei heano
mashura! Munhu akanga ari chiberekerewe.
Haa! Akomana. Hazvina hazvo
kundivhundutsa
sezvo takanga tava shiri dzine muririro
wadzo.
Pamuviri pakanga pava kunyatsooneka wena.
Heyi! Ndakambozvibvunza kuti vataishanda
navo
vaizvionawo here. Ko zvavaiziva kuti
Constable
Sibanda ava(Stacey) kuti vaiva vasina
murume
vaifungei nazvo. Pakaipa.
"Ndauya kuti ndigezewo. Nhasi tine
zvakawanda
zvekuita,"ndiStacey uyu. Ini rambei ndiri zii
zvangu. Zvakazoitika kumberi kwazvo akanga
ava
ma hwani.
Takapedza kugeza ndokubuda mu shower.
Stacey
akandobika chikafu ini ndichiona zvangu
bhora
pachivhitivhiti. Akapedza kugadzirira chikafu
ndokuuya nacho kwandaiva. "My Queen,
Unogona kubika chikafu mhani. Chicken iyi
wanyatsofuraya zvandinoda. Chicken
haifaniri
kuita sekuti yakanyudzwa mu swimming
pool."ndakadaro ndokubva taseka zvedu..
Takapedza kudya, Stacey ndokurongedza
ndiro.
Akazodzoka pandaiva akabata chinyoreso
nebhuku rekunyorera ndokubva ati tiende
kundogara pazvigaro zvaiva pane tafura
hombe
riya rinowanzova nezvigaro zvitanhatu.
"Right! Zvekudanana kana kuti zvababa
vemwana
namai vemwana ngatimboisa padivi timboita
zvebasa. Ini ndakadzidzira basa reutikitivha
iri
ndikaferefeta nyaya dzakawanda. Ko isu
tokonewa here kubudisa pachena nyaya
yanetsa
iyi? Haa! Constable Jackson! Itai
semunhurume
mhani. Mungamirira kutungamirirwa neni
munhu
wechikadzi here? Inga munozvarisa wani?
Itai
tione hubaba hwenyu. Nyaya ye ny'any'a idzi
ngaibude pachena,"Stacey akanga apfeka
mweya
webasa pachokwadi.
Ndakangoerekana ndabudisa manzwi aya,"
Oh!
Ko kuzvarisa kwapinda papi zve?"
"Ahaa! Pfungwa ngadziratidze kuti uri
munhurume kwete kungomitisa chete.
Mutikitivha
anofanira kuva munhu ane pfungwa
dzakapinza.
Kukurumidza kufunga. *What is to DETECT?
*,"
Ndakabva ndamupindura," To detect is to
find
something which is hidden or mysterious."
"Saka chawawana ndechipi parizvino?
Hongu,
wakandiudza hako nyaya inobata newe but
try to
defend yourself! Munhu ngaabatwe mhani.
Kwete
kurara nezamu mumukanwa," Shirley akanga
andichinjira mhani.
Ko ndaimudii? Aiva mukuru kwandiri pabasa
ka.
Ini ndaiva mubatsiri panyaya iyi nokudaro
handaifanira kupokana naye.
"Ndoda kumbonzwa pane pfungwa dzako.
Toita
sei kuti tiwane humbowo hunoita kuti
VaNdlovu
vabatwe?"
Ndakambofunga zvishoma ndokupindwa
nepfungwa yakangondishanyirawo.
Ndakanyatsoona kuti izvi zvaitodawo
chitsotsi
chekuti tibate VaNdlovu. Biggie hataimuziva
panguva iyi asi taingoziva kuti kwaiva
nemunhu
akaenda kuchipatara achibvunza
nezvaVaDube.
"Zvandafunga pano ndezvekuti tione kuti
VaNdlovu vari pafacebook here.
Chandinonyatsoziva ndechekuti WhatsApp
group
havana, handisi kuziva hangu parizvino."
"Yaa! Wava kutaura manje. Iyi inenge inoita.
Regai tiedze kutsva pama Social media.
Ndanga
ndakatorasikirwa nepfungwa idzi."Stacey
akadaro achiratidza kuwirirana
nezvandakafunga.
"Chirega nditsvage," akadaro Stacey
achibaya
baya mbozhanhare yake. Akavhura Facebook
ndokutsvaga munhu anonzi Lewis Ndlovu.
Pakabva pabuda vanhu vana vane zita irori.
Akaenda pane wekutanga ndokuona kuti ainzi
anogara muLuveve muBulawayo,Zimbabwe,
ndokubva asiyana naye. Akaenda pane wepiri
ndokuona pakanzi ari munzvimbo yeZaka
kuMasvingo, Zimbabwe. Akabva aenda pane
wetatu ndokuona pakanzi anogara
muJohannesburg, Gauteng Province,
Republic of
South Africa. Akatarisa profile pic ndokuona
iri
yavaNdlovu chaizvo.
"Ndavaona wena! Chasara kuti tinyatsodzika
ne
profile yavo tione zvizere."
Stacey achiri pakutaura nezvaVaNdlovu, foni
yangu yakabva yarira. Ndakabudisa foni
yangu
muhomwe ndokutarisa , wanei ndiShirley.
Ndakambopedza nguva ndakaitarisa. Ndiyo
nguva iya yaakandifonera ari mukamuri
matairara.
"Davira foni iwe Jackson! Ko chii?"Stacey
akadaro akanditarisa.
Ndakaona kuti ndikada kunyepa pano
ndingapisira. "Kasikana kaya kandiri
kuchengeta," ndakapindura.
"Saka ungatadza kupindura foni yemwana
nekuti
uri kuno here? Chingomuudza ka kuti uri
kuno
pamwe ava kutya kugara ega."
Ndakabva ndaidavira foni ..
*Shirley*: Mukoma Jackson, muri kupi?
*Jackson*: Muri sei vahanzvadzi.
Ndakabatika
nebasa. Ndiri kuuya mangwana. Ndarara Ku
shamwari yangu nhasi.
*Shirley*: Zvakanakai, Baba vemwana.
Shirley akabva adimbura foni. Stacey akazoti
tirare tozopedzisa hurongwa hwedu pazuva
mangwana acho. Takabva taenda kundorara.
Ukuwo Shirley zvaakandifonera akabva
anzwa
zviri nani ndokubva arara hake.
Ndakazomuka mangwanani ndokubva
ndaudza
Stacey kuti ndoda kumboenda kundoona
mwana.
Ehe ka! Ini ndichitaura naStacey ndakanga
ndichiti Shirley yaiva hanzvadzi yangu
yandakanunura kubva kumhondi. Stacey
aizivei
kuti Shirley akanga ava mukadzi wemumba
kupurazi ikoko. Uye zve haaiziva imba
yekupurazi
sezvo ndaisada kuti zvizivikanwe.
Stacey haana kuita hanya nazvo nekuti zvake
zvakanga zvamunakira husiku hwese.
Hameno
kuti ndizvo zvinoita vakazvitakura here.
Ndakaoneka ndokubva ndaenda kundokwira
combi ndokuenda kuDelmas kuye.
Ndakawana
imwe combi yakanga yozara ndokupinda.
Yakabva yasimuka ndokupinda munzira.
Ndakati
ndoda kusvika ndakaona motokari
yakandirovesa hana. Ndakambopukuta
maziso
wanei haikona mhani! Ndiri kuona
chaizvoizvo.
Ndakatarisa registration number yayo
ndokuona
iriyo chaiyo motokari yandinoziva. Ko
mutyairi
wayo aripi? Ndakadongorera nepahwindo
ndokuona mutyairi wayo achibva kuseri
kwechuru chaiva kurutivi kwemugwagwa.
Aika!
Mai Chrysanthemum, vanova ndivo mukadzi
wangu chaiye ndivo vakanga vachibva kuseri
kwechuru.
Ndakamboda kuti ndimise combi ndione
mukadzi
wangu asi ndakazoona kuti ndaizobura
chakati
tende. Yaitozova jambanja mumugwagwa
firimu
remahara. Mai Kiri ndaivaziva kuti kana
vatsamwa havaitangika. Zvaitoda kuti
tisangane
kumba tokumbirana rugerero takavharirana
kwete kuita zvedzungu. Izvi hazvirevi
ndaivatya
kana kurohwa navo asi ndaivapa rukudzo
semukadzi wangu.
Mai Chrysanthemum vaiva nerudo chairwo
uye
vakavimbika. Hapana musi
wavakambondiitira
zvinhu zvemanga manga uye ndaivapa
rukudzo
semukadzi wangu. Munongozivawo kuti
munhu
angava murwi ane mukurumbira asi kana
asvika
pemukadzi wake chaiye, kana pane rudo
anotopfava semambava ekiti..
Ndakazosvika pandaiburukira ndokuburuka.
Ndakambomira pamugwagwa ndokugaya
zvekuita. Ko mai Chrysanthemum zvavaiva
vamisa mota yavo pamugwagwa , yakanga
yafa
here? Yakanga yapera mafuta here? Zvino
kana
vakanga vawirwa nerimwe rematambudziko
aya
vaizoita sei? Pfungwa dzangu
dzakamboti,"Iwe
Jackson. Enda kune mukadzi wako undoona
kuti
chii chaitika. Ko kana awirwa nedambudziko
posvika umwe murume omubatsirwa,
unotorerwa
mukadzi wakavarairwa shamwari
ukazoyeuka
chikorobho warasa mvura."
Pakuzotorerwa mukadzi wangu ndipo
pandairamba. Chero vakarambana wani
akazonzwa kuti mukadzi awanikwa neumwe
anotoita shanje sekuti vachiri kugara vese.
Ndakabva ndakwira imwe combi
ndokudzokera
kwaiva Mai Chrysanthemum. Ndakazosvika
ndokuona motokari yavo isisipo. Ndakaudza
mutyairi wecombi andiburutse kuti ndiedze
kutsvaga zviratidzo zvaizondipa ruzivo kuti
chii
chakanga chaitika. Ndakasvika pakanga
pakamira motokari chaipo ndokutarisa
matsimba
emavhiri emotokari ndokuona kuti aitsika
zvairatidza kuti aiva nemweya wakakwana.
Ndakatenderera ndichitarisa wanei pakanga
pasina zvimwe zviratidzo. Ndakafamba
ndichienda kuseri kwechuru ndokuona
hahahaha!
Tsvina nemvura ndizvo zvavakanga vasiya
paseri
pechuru apa.
Ndakangodzungudza musoro ndokubva
ndadzokera mumugwagwa.
"Ko mai Chrysanthemum vari kuenda kupi
ava?"ndakangozvibvunza mupfungwa
ndokuzosiyana nazvo. Ndakakwira imwe
combi
ndokuenda pandaiburukira ndokuenda
kupurazi
netsoka..
Ndakatozosvika kupurazi zuva ropisa.
Ndichisvika ndakapresser remote
yekunyaradza
alarm yepagedhe sezvo ndaiziva kuti yakanga
yakabatidzwa. Ndakapinda pagedhe
ndokuenda
mumba. Ndakaona Shirley achirongedza
zvake
midziyo yemumba. Paakangonditi baa,
Shirley
akamhanya ndokusvetukira pandiri akabata
mafudzi angu. Ndakabva ndamubata
semwana
mudiki. Haiwa zve! Shirley aindida mhani asi
chakanga chondinetsa ndechekuti aizozvitora
sei
paaizoziva kuti Stacey aiva nepamuviri
pangu. Ko
kuti ndine mukadzi nevana vari kugara
kuSecunda? Iniwo SAKA NDAIZOITA
SEIWO
kana vanhu vese ava vakaziva zviri
mudariro?
Zvaikunda ngoma kurira.
Takazogara pasi ndokubva tabvunzana
mufaro.
Akazotanga nyaya yake.
"Nhai mukoma. Ko richiri basa here rinoita
kuti
musarara pano zuva nezuva? Kana ari iwo
mashandiro amava kuita zviri nani kuti tiende
tese. Ini zvekurara ndega handizvikwanisi ini.
Ndiri kunzwa kuda kugara ndichikuonai
nguva
dzese."
Ndakabva ndamupindura zvinyoro nyoro,"
Basa
racho ma1 chaiwo. Nyaya iya haisati yapera,
Shirley. Kana yapera tichagara tese nguva
dzese."
"Zvakanaka hazvo. Asi itaiwo muchiziva kuti
masiya mudiwa wenyu kumba,"akadaro
Shirley
achiyema zvake.
"Nditengereiwo motokari,Daddy. Ndodawo
kufamba nemotokari," Shirley akadaro. Ini
ndakabva ndamupindura
ndichiti.......................
END OF CHAPTER 30

CHAPTER 31.

"Nditengereiwo motokari,Daddy. Ndinodawo


kufamba nemotokari,"Shirley akadaro. Ini
ndakabva ndamupindura ndichiti,"Unoda
motokari?"
Zvikanzi,"Ehe."
"Ndichazokutengera, dear. Handiti uri kuona
kuti
parizvino ndiri kufamba netsoka?
Ndichambotenga yangu ndiwane
chekufambisa,"ndakadaro.
" Aaah! Tengai dzese nguva, daddy,
aaaah,"Shirley akanga oyema zvekuenda
mberi
chaiko. Akabva asimuka ndokugara
pamakumbo
angu uku chirebvu changu chikati chopinda
kupuruzirwa. Varume zvatinoitwa izvi!
Hahahaha!.
Ndakanyengetedzwa kusvikira ndapusa
chaiko.
Kwaiva kunyengetedzwa here?.................
Kunyengwa. Hahahaha!
"Its Ok. Ndokutengera. Rega ndimborara ini.
Tomukira kuenda kundotenga motokari dzedu
mangwana."
Paakangonzwa mashoko angu aya, Shirley
akafara zvekuti akaita seachabhururuka
chaiko.
Ini ndaitofarawo kumuona akafara mazuva
aya.
Ndaiti ndikafunga musi waakaurayirwa
mhamha
vake ndainzwa tsitsi kusvikira pakubudisa
musodzi chaidzo. Mwana ainzwisa tsitsi musi
uwoyo.
Musi uyu ndakaswera pamba ndichirezvana
naShirley. Kufunga nezvaMai Chrie ndiko
kwaimbondishanyira kusvika pakurohwa
nehana.
Takaswera tikarara hedu zvakanaka.
Takamuka mangwana wacho ndokugadzirira
kuenda kundotenga motokari. Ndaifanira
kutodzitenga nokuti ndakanga ndasara
nemudhudhudhu chete. Takapedza gadziriro
yedu ndokupinda munzira takananga
kwataizokwira taxi yaienda Kempton Park.
Taida kundotenga motokari dzedu pakambani
inotengesa dzimotokari inonzi CHEVROLET
KEMPTON PARK. Apa ndipo pandaida
kutenga
Chevrolet SONIC . Takasvika pabus terminus
combi, ndiye hutu takananga Kempton Park.
Takasvika ndokuenda pakambani paye
ndokuita
zvose zvaidiwa.
Takatozopedza kuita zvese izvi nguva
dzafamba.
Shirley ndakabva ndamutengera ka
PEUGEOT
206cc nokuti ndiyo yaaifarira. Takatyaira
motokari ndokuzodzokera kupurazi. Shirley
akanga ava nemufaro wakawedzerwa..
Zuva rakatevera racho ndakamuka
ndokufunga
zvekufonera Stacey ndinzwe hurongwa
hwaivapo
maringe nebasa redu. Akabva ati hwaivapo
ndehwekundoona VaDube kuchipatara.
VaMugoni ndivo vaiva varonga kuti
taizoendako
tiri vana(4) kusanganisira naMai Dube. Izvi
vaizviitira kana taizoenda naMai Dube
zvaizova
nechiremera. Vakati ivo kwaizoenda
VaMugoni
pauzima, ini, Stacey naMai Dube.
Ndakasimudza motokari yangu itsva iyi
kubva
papurazi ndakananga kubasa. Haiwa! Hakusi
kufamba ikoko kwaiita ka Chev Sonic kangu.
Ndiri munzira ndakapindwa nepfungwa
yekuti
ndaifanira kuti mafasitera emotokari iyi
aiswe
*tint* kuti ndisaonekwa kana ndiri mukati.
Ndakabva ndaenda pakambani yaaita
nezvazvo
ndokubva vazviita chimbi chimbi. Ndakavapa
muripo wavo ndokuisimudza zvakare.
Ndakati
ndoda kusvika ndakabva ndapindwa neimwe
pfungwa yekuti handaifanira kusvika
nemotokari
iyi pakamba nokuti kana VaNdlovu vaizoiona
vaitozoivhima zvakare ndikapisirwamo.
Ndakaenda pamwe paichengeteswa motokari
ndokuisiya ndichibva ndabhadhara mari
yacho.
Ndakazofamba netsoka ndokusvika pakamba.
Ndakawana mapurisa ose atovapo. Avo
vaishandirawo kuchipatara vakanga
vachiitwa
madzoro avo ikoko.Mushure mechinguva
chidiki,Amai Dube vakasvikawo pakamba.
Takabva taita kamusangano kadiki ipapo.
"Mangwanani, maOfficers mese. Hatisi kuda
zvedu kuparadza nguva. Tati tiende kundoona
mukuru wedu kuchipatara uko. Kuchaenda
ini,
Detective Agents Jackson Sithole na Stacey
Sibanda. VaNdlovu muchasara nevamwe
muchiona kuti basa riri kufambiswa sei,"ava
ndivaMugoni vaitaura mashoko aya.
VaNdlovu hapana zvavakataura.
Vakangoramba
zvavo vakati zii. Takapinda mumotokari
yebasa
ndokuenda kuchipatara. Takasvika pagedhe
ndokubvunzwa negadhi.
Pamusoroi, vakuru. Tokumbirawo kuona
zvitupa
zvenyu mobva matipa ma FORCE NUMBER
enyu," ndigaghi aiva pagedhe. Takaita
chipatapata kubudisa zvitupa nema card
echipurisa. Akanyora pasi mazita zvese nema
force number edu. Amai Dube vakanga vava
kuzivikanwa nokudaro havana zvizhinji
zvakanzi
vaite. Gadhi akazofonera chiremba airapa
VaDube kuti anzwe kana zvaikodzera kuti
tiende
kundovaona. Takabva tanzi taikodzera
kundovaona..
Patakapinda umu, takawana Cst. Oswald
Mhofu
naCst. Kim Dlamini.
VaDube vakanga vakarara panguva iyi.
Musoro
,makumbo ruoko nechepafudzi zvakanga
zvakamonerwa mabhandichi(bandages).
Pandangoona chimiro chavakanga vanacho
panguva iyi, ndakanzwa moyo wangu
sewabayiwa netsono. Kwaiva kwekutanga
kuvaona ka kubva zvakanga vaita tsaona.
Ndokangoerekena musodzi yoerera
zvandisina
kuziva kuti dzakabuda sei. VaDube
ndaivafarira
nokuti vaishanda nesu zvakanaka. Hapana
pavakamboita utsinye kune mapurisa ese
zvavo.
"Aaaa! Ko kuchema ndokunei zve munhu
mukuru? Kudai wakavaona musi
wavakakuvara
wacho waizoenda nepi? Murume
ndewekubata
hana panguva dzakadai kwete
kuchema,"ndichiremba aitaura izvi.
Ndakazonzwawo Stacey kuita seari kukwidza
tumadzihwa ndabva ndaziva kuti zvabaya
moyo.
Awawo Mai Dube, takaita sekuti
takavapesvedzera kuti vacheme. Vakanga
vopfikura vari padivi pemubhedha wemurume
wavo.
"Eh! Eh! Eh! Vakuru! Mungandudza kuti
mauya
kuzoita mutambo we drama muno here
chokwadi.
Chimbobudai mozouya moyo yenyu
yagadzika.
Uye zve nguva inopera muchiita zvamuri
kuita
izvi,"chiremba vakataura izvi vachiratidza
kubhohwekana nezvatakanga toita mu ward
umu..
Pakarepo VaDube vakabva vasvinura.
Chavakangokwanisa kuita chete kushama
muromo vachiratidza kuti pane zvaida
kutaura.
"Musatya zvenyu, vari kuita zviri nani zvekuti
mushure memavhiki maviri vangangobuda .
Isai
minamato yenyu kuna Mwari, ndiko kuti
vawanirwe nyasha nekurumidza," vadaro
chiremba.
Takazoita munamato ndakuoneka chiremba
ne
ma officers aiva pa duty ndokubuda.
Takapinda
ndokudzokera kukamba.
~~~~~~~~~~~~
Musi uya wandakaona mukadzi wangu, Mai
Chrysanthemum. Hurongwa hwerwendo
rwake
urwu hwakatanga pamazuva maviri akanga
apfuura acho. Vana ndivo vakanga
vomushungurudza nemibvunzo
yavaigarobvunza
zuva nezuva.
"Nhai Mhai. Ko baba vari kupi vasiri kuuya
kumba kudai? Zvotoitawo sekuti hatina
baba?"uyu mwana wangu Chrysathemum uyo
aitevera Jackson Junior pakuzvarwa. Jackson
Junior ndiye aiva dangwe kuchitevera iye
Chrie
kozopedzisira Rose. Mukomana mumwe chete
ne
vasikana vaviri.
"Baba venyu vari kubasa vanangu,
vachauya,"Mai Chrie vakapindura vachiedza
kuvhara vana kuti vasashurudzike
nekusavapo
kwangu pamusha.
" Baba vaumbouya kuno kumba kaviri
Pamwedzi,
izvezvi yava mwedzi mingani vasingauye
kumusha? Hmmmmm! Vachiriko ikoku?"uyu
ndi
Jackson Junior akadaro.
"Baba kana vouya vachauya ne ayishikiyimu
ndizhoha(Baba kana vouya vachauya ne ice
cream ndizodya),"kedu Rose kakatiwo
hakangasarire pane vaitaura nezvababa.
Dzimwe
nguva vanaBaba zvatinoita hazvina kunaka..
Mai Chrie or Mai J.J. , sekudanwa
kwavaiitwa
nevamwe, pavainzwa mashoko nemibvunzo
dzaibva kuvana zvaiwedzera kuvabaya moyo
kusvikira vabuda pfungwa yekuti vaende
kwandairoja vaone kuti ndaivako here.
Musi uya wandavaona, vakamuka
mangwanani
ndokugadzirira kuti vana vaende kuchikoro.
Vapedza ndokupinda mumotokari yavo
ndokupinda munzira. Vakambomisa motokari
ndokumbozviyamura vozoenderera mberi
nerwendo rwavo. Vakasvika pandairoja paya
ndokubaya intercom wanei hapana
akadavira.
Vakazotaura nagadhi wepagedhe ndokubva
vaudzwa kuti ndakanga ndava nenguva refu
ndisina kusvika pamba apa. Izvi
zvakavarovesa
nehana.
"Mukwasha, mune chokwadi here kuti
makapedzisira kuvaona kare?"vakadaro Mai
Chrie.
"Endai mundotarisa pa unit paanogara.
Handiti
munopaziviva?"akadaro gadhi kuna Mai
Chrysanthemum.
" Ehe. Ndinopaziva,"Mai Chrie vakapindura.
Vakataura motokari yavo ndokuimisa pa
carport
yangu ndokuburuka. Vakaenda pa unit
pandairoja paya wanei pakakiyiwa.
Vakagogodza
wanei zii. Pakarepo pfungwa dzakatanga
kufunga
mazuva ataigara nemufaro ndisati ndapinda
muchikwata che Leopard Claws Gangsters,
musodzi dzikati dzochururuka. Vakafunga
zuva
ratakapinda musvitsa tsvene tichitsidzirana
kuti
rufu ndirwo rwaizotipesanisa zvakati
zvavadzimba moyo. Vakazofamba vachibva
ipapo maziso aita sekuti atosvorwa
nemhiripiri.
"Nhai Mwari. Mungandiudzawo kuti murume
wangu aripi chokwadi? Kuchiri kubasa here
kana
kuti akatodyiwa nezvikara? Zvandiri kubaiwa
moyo nekubvunzwa nevana, ko zvichapera
riini?
SAKA NDICHAITA SEI zvimiro zvazvasvika
pakadai? Hongu, hapana chandinoshaiwa
mukurarama asi baba vevana vangu
ndinovada.
Chero vakapenga kusvika pakuchururuka
madzihwa chaiko ndinovada zvakadaro.
Mwari.
Inzwai wo kuchema kwangu. Kana kuri kuti
vakafa, votsakatika here tisina kuona pane
rinda
ravo," mai Chrie vashushika mupfungwa ,
musodzi dziri mumatama.
Vakatsamhidzira huma pa steering wanei
vava
kuridza bhera. Musi uyu vakarwadziwa
kusvikira
musoro wotema..
"Chanetsa ndechekuti handisi kuziva
kukamba
kwavanoshandira. Ndaidai ndambonobvunza
ikoko. Hmmm! Yedu yekusaziva kubasa kwe
murume iyi. Honai zvino ndava
kutambudzika."
Vakazotyaira motokari yavo ndokudzokera
kumba.
~~~~~~~~~~
Shamwari, we have to kidnap one of the
officers
who are guarding kuchipatara uko. Dube
akangobuda muchipatara chete......
Tapera,"ava
ndivaNdlovu Vaitaura mashoko aya na Biggie
mumba mavo. Vakanga vafonerana kuti
vasangane vaone zvekuita VaDube vasati
vabuda
muchipatara.
Iyi ipfungwa yakanaka asi mubvunzo wangu
uri
pakuti TICHAITA SEI kana tapamba
mupurisa
uyu? Isu hatibvumirwe kupinda mukati ka. Ini
ndinoona sekuti tibate Jackson nokuti ndiye
ane
nyaya yese,"ndiBiggie uyu.
"Apo wataura asi vaDube vaifanira kupiwa
mushonga vafire ikoko. Nokuti vane
chokwadi
chekuti ndini ndiri kuita mabasa ese aya."
Iyo hainetse. Ndinotsvaga vakomana
vanoziva
mabasa ese aya. Jackson haana motokari
mazuva
ano saka haanetse kubata uyo. Toda
kundomukandira mumvura. Kana zvikashaya
basa tinonyora gwaro rakaita se diary rake
tichinyora zviito zvese zvaakaita pakuuraya
vanhu. Handiti munonyatsoziva zvose
zvaakaita?"ndiBiggie uyo.
"Ehe. Ndinozviziva. Iwe wazotaura imwe
inoita
manje! Iyi haatomboibudi. Mazuva ese iwayo
ndakanyora pasi. Saka nyaya yacho
haangambobudirire."
Shasha idzi dzaikurukura zvadzo
dzichitaridza
kusafara nechimiro chakanga chine nyaya.
Heyi!
Ndakanga ndarongerwa yakapenga panguva
iyi.
Varume ava havaibva munzira nekuvhuvhuta
kwemhepo. Havaishanduka nokuti
kwazovhuvhuta, aiwa. Vaiita chandasimbirira
kuita kwebenzi. Ehe ka! Benzi ndiro rinoti
kana
rafunga kuita chinhu ,rinoita risina kudzeya
kunaka kana huipi hwechinhu chacho. Rinoti
tozvionera mberi ikoko..
VaNdlovu vakachitangisa kunyora diary
palaptop
ravaizoti nderangu. Vaiita izvi vachitarisa mu
diary nechikwata kuitira kuti zvakasiyana
pamazuva. Uyuwo Biggie akazotsvaga vanhu
vaizovabatsira kundibata kuti ndikandirwe
mumvura. Vakazvivimbisa kuti panzira mbiri
idzi, hapana yaizopotsa.
Zvatakazobva kuchipatara tichienda
kukamba....................................
END OF CHAPTER 31.
CHAPTER 32.

Zvatakazobva kuchipatara tichienda


kukamba,
takatozosvika atova masikati. VaMugoni
vakazotidana ini naStacey kuti vanzwe kuti
takanga tava papi nenyaya yataiferefeta.
"Detective Agents. Mava papi nenyaya
yenyu?
Tarirai kuti mazuva ari kufamba aya,"
ndivaMugoni ava.
"Tadii kubuda tindotaurira panze. Yeukai kuti
mungangodaro mune zvinotora manzwi
muno.
Zvatinorongera mumahofisi hazvibudiriri,"
ndakapindura ndichivataurira zvandaiziva.
Ehe
ka. Hutsotsi hwavaDube ndaihuziva..
"Oh! Aaa! Ndanga ndatokanganwa.
Ngatibudei
tiende pasi pemuti apo,"vakadaro VaMugoni.
Takabuda ndokuenda pasi pemuti waiva
mukamba umu.
"Saka mava papi nenyaya?"VaMugoni
vakabvunza zvakare.
Stacey akabva apindura ,"Tafunga kuti
timbotsvaga pafacebook account yavo tione
information yavakaisapo yakamira sei."
"Hoo. Asi sekufunga kwangu ka,
havangamboise
zvakawanda pafacebook,"ndiVaMugoni
vakataurawo maonero avaiva nawo. Ini
ndakabva ndapindwawo neimwe pfungwa.
"Kana vachinge vari pafacebook hazvinetse.
Tichagadzira account yeduwo toipa zita
rinoenderana neutsotsi , semuenzaniso
totumidza
kuti BLACK MAMBA SNIPERS. Totsvaga
mufananidzo unoenderana nezita iri."
"Yaa! Ndiko kuronga uku," VaMugoni
vakabvumirana nepfungwa idzi..
"Asi ka, yeukai kuti kana tava ne Facebook
iyi,
kuchazonzi ngatisangane. SAKA TICHAITA
SEI?" ndiStacey aitaura mashoko aya.
Ndakabva
ndamupindura,"Iyi hainetse iyi. But zvinoda
mari.
Tinotsvaga vanhu vatichatuma kuti vamire
vakaita sechikwata ichi. Ndivo vatichatuma.
Vimbai nesu. Tinozvigadzirisa izvi."
"Itai tione, ma detectives. Ndinovimba nemi,"
VaMugoni vakataura mashoko aya
vachiratidza
kugutsikana nezvataitaura..
Takazoparadzana ndokubva ndati
kunaStacey,"Ini ndava kumba, dear.
Ndokuona
mangwana tichironga kuti toita sei nenyaya
yedu."
"Handei kumba kwangu ka nhai,baba ve
mwana.
Ko zvaita sei nhasi zvamusiri kuda kuenda
neni?"akadaro achiratidza kushamisika
nezvandakataura panguva iyi.
Ndoda kumbokurumidzawo kusvika kumba
kwangu nhasi. Ndichauya mangwana
paticharonga zvekuita ndozorara kwako.".
"Ngatichienda tese kumba kwako ikoko
nokuti
nhasi ndinoda kuva newe," Stacey akadaro.
Hezvo! Stacey akanga asimbirira nerekuti
aida
kuva neni zuva iri. Ini wacho ndakanga
ndisingade kuenda naye. Ndaida kuenda
kupurazi
nemotokari yangu. Heyi! SAKA NDICHAITA
SEI? Ndakanga ndisingade kuti Stacey azive
kuimba yangu ye kupurazi. Zvakare kana
aizoona
Shirley akazvitakura aizoti chii.
Aitozonyatsoziva
kuti gudo rakadya mumunda masabhuku , ivo
sabhuku vacho vari kundari.
"Iwe chienda kumba. Ini ndichatevera,"
ndakapindura.
Stacey akazopinda mumotokari yake
ndokuenda
kumba kwake. Ini wo ndakabva pa kamba
netsoka
ndokufamba ndakananga rimwe divi risiri
rekwandakanga ndasiya motokari.
Ndakazopota
ndava nekwandanga ndisisaonekwi.
Ndakataura
nevaichengeta motokari ndokuzopinda mota
ndichibva ndapinda munzira. Ndiri munzira
kudaro ndakafunga zvekupfuura
nepandairoja
ndichiona kuti zvinhu zvakamira sei.
Ndakasvika pagedhe ndokudzvanya remote,
gedhe richibva razaruka. Gadhi aiva apa
akatonetsekana nazvo nekuti haana kundiona
nekuda kwe tint yandakaisisa pa mafasitera
emotokari. Ndakamisa motokari pa carport
yangu
ndokubva ndaburuka..
Vanhu vese vakandiona panguva iyi
vakashamisika zvikuru. Ndanga ndava
nenguva
refu ndisingasvike paflat apa. Ndakafamba
ndichienda pa elevator kuti ndikwire
kumusoro
kwandairoja. Ndisati ndasvika pa elevator
paya
ndakazonzwa, mba kuvharwa maziso
nemunhu
aiva kumashure kwangu. Munhu uyu handina
kunzwa kufamba kwaiita. Ndakabva ndaziva
kuti
ndaitonyangirwa ipapo.
Hezvo! Ko andivhara meso ndiani zve?
Handingadaro ndanyangirwa nemuvengi
ipapa?.
Handina kuita zvenharo, ndakaita semunhu
akapfava zvangu. Pandakanga ndavharwa
maziso
kudaro, ndakanzwa kahwema kemunhu uyu
ndokubva ndaziva kuti aiva munhukadzi.
Ndakafunga kumubatabata zviya
zvekumukanya
kuitira kuti ndione zvaaida kuita. Eish! SAKA
NDICHAITA SEI kana ndikazoona iri
hanzvadzi
yangu kana munyarikani? Hmmm!
Ndakazorovera moyo padombo ndokutanga
kumubatabata ndichiita sekuti ndaida kunzwa
kuti aiva ani. Haana kuda kundiregedza
pekutanga, akaramba akandivhara meso
chinyararire. Ini wo ndikati regai ndibate
nzvimbo dzinoera dzacho, achandiregedza
chete.
Ndakabva ndangonangisa maoko ikoko,
zvikati
zvandivhiringidza pfungwa. Munongozivawo
kuti kana uri munhurume ukangogunzva
munhukadzi chete unotonzwa kuti pane
zvinotumirwa kupfungwa. Zvinozoitika
zvinenge
zvobva mukufunga kwako zvekuita asi shoko
rasabhuku unenge watosvitswa nechekare.
Iyewo paakazoona kuti ndakanga ndoita
zvakapfurikidza mwero, akabva andiregedza
achiratidza kushamisika.
"Yuwii! Ko ndokudii ikoku?"
"Tibvirwe! Ndiwe hako? Uchativhundutsa
mhani
iwe,"ndakataura mashoko aya pandakaona
kuti
aiva Sylivia. Ndakabva ndamukwazisa
ndichiedza
kuvhara nyaya yezvakanga zvoitika.
"Wakadii hako,Sylivia?"
"Ndinofara. Makadii,mukoma?"akapindura
achinyaranyara.
"Ndakasimba ini. Huri sei utano hwako?"
"Ndiri nani zvangu. Ko kurova? Zvanzi kudii
zve
nhai mukoma Jackson?"Sylivia akabvunza.
Ndakamutsangurira dzimwe dzenyaya dzese
dzakasangana nadzo kusvikira panguva
yakanga
yapfuura.
"Inga makapinda munyatwa. Pamazuva
mashoma apfuura, pakasvika munhu
aikutsvagai
pano asi takamuudza kuti imi hamupo
mazuva
ano. Pakazosvika vamwe mhamha
vachikutsvagai
zvakare tikavaudza zvimwechetezvo. Mukadzi
iyeye akati anonzi Mai Chrysanthemum."
Sylivia paakataura nezvemukadzi wangu
ndakarohwa nehana. Handina kuzviratidza
kuvhunduka kwandaita, ndakangokanda
mubvunzo kunaSylivia," Aiti aida chii
kwandiri
uye akati ndiri ani wake?"ndakabvunza.
"Ndakanzwa achitaura negadhi nokudaro
handina kunzwa kuti aiva ani wako asi
ndakangonzwa kuti aida kukuona," Sylivia
akadaro.
Takazotaura zvedu nyaya dzakasiyana siyana
ndokukwidza ndichienda kuflat yangu.
Ndakasvika ndokuvhura musuwo.
Ndakapinda
ndokuenda kukamuri yekurara. Sylivia
akaendawo kuflat kwake ndokutanga kubika.
Paakanga oda kubika usavi ndipo paaona
kuti
mafuta ekubikisa akanga apera. Akabuda
ndokuenda motokari yake. Akaimutsa
ndokunanga kusupermarket yaiva pedyo.
Achangosvika pagedhe, akabva aona murume
murume uye akambosvika achinditsvaga. Ko
murume uyu aimbodei chaizvo izvo?
Sylivia akabva arova U-turn ndokudzokera
kuzondinyeurira kuti munhu aakanga
ambotaura
nezvake adzoka zvakare.
"Gogogoi! Gogogoi!"akadaro Sylivia
achifemereka jon'osi aiswa pajoka.
Ndakabuda nekukurumidza ndichienda
kumusiwo
.
"Mukoma! Murume akambosvika pano
achikutsvagai auya. Kutaura kudai akamira
pagedhe. Kudai muri vamwe maitsvaga
zvekuita
nekuti munhu wacho handimuone mushe ini."
"Ok. Rega ndizvivharire mukati,"ndini uyu.
"Pindai mumba mangu umo! Kurumidzai!,"
Sylivia akadaro achiratidza kusagadzikana.
Ndakakiya pamusiwo ndokufambisa
ndichienda
mumba ma Sylivia. Regai timbonzwa kuti
munhu
uyu aimbova ani uye aidei kwandiri.
~~~~~~~~~~~~
VaNdlovu zvavainyora diary renhema vachiti
nderangu. Zano ravo iri vakavimba naro
zvekuti
ndipo pakabva paperera pfungwa dzavo.
Uyuwo
Biggie akatsvaga vaimubatsira kuzondivhima
akawana varume vatatu. Mazita evarume ava
aiti
Owen, Akim na Jimmy. VaNdlovu vakabva
vaita
musangano nema recruits matsva aya.
Varume
vakanga vakasimba ivavo.
"Tinokugamuchirai nemufaro ,varume. Pano
tine
basa rekuita. Pane vanhu vanetsa chaizvo.
Vanhu
ava tichaedza kuti mumwe nemumwe wedu
avazive kuitira kuti zvisanetse kubata vanhu
ava.
Tine nzira dzakawanda dzatichaedza kubata
nadzo vanhu ava. Imwe yacho ndiri
kutoigadzirisa. VaBiggie Gonzo muchapota
muchienda panogara Jackson sezvo ari iye
watinoda zvakanyanya. Edzai nepamunogona
napo kuti mumuuraye kana kumubata mouya
naye kuno. Mukangomubata chete munenge
mapinda mumari vakomana," vakadaro
VaNdlovu.
Semunongozivawo kuti pane vimbiso
yekupihwa
mari yakaoma. Varume vakanga vatova
nezviroto
zvekuyambuka zambuko renhamo.
Vakazviona
sevaizova mbozha, kurembedza matumbu uye
kuita ma ridges mumitsipa yavo. Dzimwe
dzenguva vimbiso inoita kuti uone zvisiri izvo
chokwadi.
Zuva rakare iroro, Mudhara Biggie
dzakakabva
dzatogadzirira kuenda pacomplex
pandairoja.
Dzakasvika pana gadhi ndokubva dzanyepa
kuti
dzaiva shamwari yangu.
"Makasimba here,vakuru? Ko ndingaonawo
shamwari yangu here,"ndiMudhara Biggie
ava.
?"Shamwari yacho yamuri kureva
ndiani?"gadhi
akabvunza.
"Jackson."
"Jackson ani?"
Pakuzobvunza mutupo kwakaitwa nagadhi,
Mudhara Biggie akabva arasika. Hameno
kuti
vaiva vasina kumbonzwa mutupo wangu here
kana kuri dzaiva hanganwa.
"Aizve! Zvamava kuita sekuti hamuzive
shamwari
yenyu? Hahahaha! Vakuru. Ok. Munhu
wamuri
kuda ndamuziva hangu asi haapo.
Mozoramba
muchiuya kuzotarisa," akadaro gadhi.
"Tingaenda tese paanogara here ndipaone
here?
Akangondiraira nzira chete, handisati
ndambosvika pano. Nguva yareba ndisina
kumbomuona."
Pakanga vachitaura nyaya iyi, Sylivia akabva
asvikawo pagedhe apa nemotokari yake.
"Tete! Chimbomirai zvishoma. Ndine
bepanhau
netsamba dzenyu dziri pano,"akadaro gadhi
achitora bepanhau netsamba nhai dzaSylivia
ndokumupa. Uyuwo Biggie akaramba
achitaura
zvinova zvakaita kuti Sylivia anzwe nyaya
yairaurwa apa. Sylivia akazoenda hake.
Gadhi
akabva aramba kuti Biggie andoona
pandaigara
asi akamuudza kuti auye mumwe musi. Biggie
akabva apinda munzira ndokudzokera
kumba.
Paakazouya rwendo rwepiri ndipo
pandakanga
ndiri kucomplex umu. Gadhi haana kundiona
nekuti motokari yangu iyo yaiva ine tint
mumafasitera. Zvakare ndakavhura gedhe ne
access card saka hapana chaaizoita kunze
kwekuti ndipinde mukati..
Mai Chrysanthemum zvavakazodzokera
kumba
vasina kundiona...............................
END OF CHAPTER 32.

CHAPTER 33.

Mai Chrysanthemum zvavakazodzokera


kumba
vasina kundiona, zvakavanetsa mupfungwa
kuti
vanyatsoziva kuti ndaimbovepi chaizvoizvo.
Vakapedza mazuva ane chitsama vachiti
vakangofunga nezvangu chete, voeredza
musodzi.
Makunun'una maodzamoyo zvechokwadi,
kufunga
uku kwatanga kuvadya muviri zvishoma
nezvishoma kusvikira dzimwe shamwari
dzavo
dzazviona kuti pane chaivadya moyo. Kuita
kwangu kwakanga kwavapa ronda guru
mumoyo
zvekuti mufaro wakanga wava mutupo
kwavari.
"Mai Chrie, shamwari. Uri kupera muviri
mazuva
ano. Chii nhai, asikana?"ndeimwe shamwari
yavo yainzi Mai Zuze.
" Ndiri kupera here nhai
veduwee?"ndiMaChrie
vakadaro vakatarisa shamwari yavo iyi
mumaziso chaimo. Ziso ravakatarisa naro
shamwari yavo iyi raitaura pachezvaro.
Muchidimbu tingangoti raiti," Iiii! Imi! Muri
mune chokwadi here nezvamuri kutaura kana
kuti muri kuda kundinzwa?"
"Muviri wako wadzikira mazuva ano.
Hameno,
kuda zviri mumaziso angu, asi ndizvo
zvandiri
kuona."
Mai Chrie vakamboti zii kwechinguva. Izvi
zvakaita kuti shamwari yavo Amai Zuze ive
nechokwadi chekuti pane zvikuru zvainetsa
mumwe wavo. Vachakanyarara kudaro, mai
Chrie vakanga vachipishana nepfungwa
dzekuti
vodii panguva iyi. Dzimwe pfungwa dzaiti
kutaura nezvenyaya yaivanetsa iyi kwaiva
kufukura hapwa. Dzimwe dzaiti kuitaura
kwaiva
kutura mutoro unorema. Zvakare dzaivaudza
kuti
rume rimwe harikombi churu uye mazano
marairanwa. Zano ndoga akapisa jira wani.
Chigunwe chimwe hachisvine mota.
Chaingodiwa
apa ndechekuti vazive kuti wavaizotaurira
nyaya
iyi ndivaMandiyamura here kana kuti
ndivaTurawakamira.
Vakazoona zvakakodzera kuti vaturire umwe
wavo mutoro wavaiva nawo uyu.
"Uchindiona ndakadai, Mai Zuze, ndine
zvinhu
zvikukutu mumoyo mangu."ndiMai Chrie ava.
Musi uyu vakanga vashanyirwa naMai Zuze
kuti
vambotandara sezvo vana vavo vese vakanga
vaenda kuchikoro.
"Nyaya iri kundinetsa ndeyaBaba vaJackson
Junour. Pava nenguva refu vasina kumbouya
kumba uye handisi kutomboziva kuti vari
kupi.
Ndakamboenda pamba panoroja ndokuwana
pasina munhu. Ndakabvunza vanhu vepamba
ipapo ndokundiudza kuti murume wangu ava
nenguva refu asingasvike pamba apa. Kubasa
kwavo handikuzive. Ndiko kwasara
ku..........,"
vakabva vadimbudzirwa nhoroondo yavo
naMai
Zuze.
"Maihwee! Asikana. Mungagara musingazive
kubasa kunoshanda murume wenyu
chokwadi?
Musadaro asikana. Ko munodii kugara mese
kubasa ikoko? Ndiko kunonzi kurindisa
makudo
munda wechibage uku. Ko mukawana
makudo ari
pabira mumunda wenyu iwowo muchati
kudii?
Mungati akashata here imi makamabvumidza
kuti aite madiro aJojina? Makapedzisira
kuonana navo riini?"ndiMai Zuze vaitaura
mashoko aya.
Mai Chrie vakamboti zii ndiye dhuu kufunga
ndokuzopindura mubvunzo," Pava nemwedzi
mupfumbamwe."
Mai Zuze vakabva vataura nekukurumidza,"
Amai! Murume atorwa nevamwe izvezvi.
Murume
haasiyiwe ega semombe dzinosairirwa
kumashanga munguva dzechando.
Mungakwanisa
kugara mega kwenguva refu musingazivi
murume,ehe , varume havazvikwanise
izvozvo.
Chiregai ndikubairei zanhi, asikana!
Ndatoona
hangu kuti ndimi makabvumidza kuti zviitike
asi
totoshanda nezviripo,Amai Zuze
vakambonyarara
zvishoma ndokuzosimudzira nyaya iyi.
"Murume wenyu mupurisa zviya?"
"Ehe,"Mai Zuze vapindura.
"Endai kumakamba epedyo nepavanogara
mubvunze. Kana mashaiwa moenda
kumahofisi
makuru ari kuJohannesburg
munondobatsirwa
ipapo. Asi chandikuudzai ndechekuti variko.
Kudai vakafa zvaizoziviswa
pazvivhitivhiri,mumapepanhau uye
pamadzimudzangara. Ndinovimba kuti
mungabatsirika."
Vachinzwa izvi, mai Chrie vakabva vaona
kuti
zvaitaurwa izvi ndiyo yaitozovabatsira.
"Maita basa, asikana. Ndichaendako
mangwana
chaiye."
Vaviri ava vakazotaura dzimwe nyaya
vachiseka
zvavo asi mai Chrie vakanga vatova
nepfungwa
yekuti kudai kwakurumidza kuedza vapinde
munzira vachiuya kuzonditsvaga.
Ramangwana racho, mai Chrie vapinda
mumotokari yavo ndokuperekedza vana
kuchikoro. Vachibva ikoko vakabva vapinda
munzira vachiuya kuzonditsvaga.
~~~~~~~~~~~~~~
Biggie zvaakazouya rwepiri ini ndiripo,
gadhi
aisazviziva nekuti ndakanga ndapinda
nemotokari
yangu iyo yaiva ne tint. Sylivia wo
zvaakanzwa
ndichitsvagwa akamhanya kuzondinyeurira
ndichibva ndazopinda mumba make.
Makanga
makarongedzwa zvaiyevedza. Haiwa! Vakadzi
vane zvipo zvekurongedza mumba
pachokwadi.
Pasina nguva ndakazonzwa Biggie achisvika
pagonhi reimba yangu.
Akagogodza wanei zii, akagogodza kwenguva
yakati rebei. Ini ndaikwenya mhino
nekasiyanwa
ndakavanda mumba maSylivia. Sylivia
akanga
akamira pamusuwo wemba yake iyi achiona
hake
zvaiitwa naBiggie. Ini wo ndakanyahwaira
ndokudongorera ndiri seri kwegonhi kuti
ndione
muvengi wangu uyu. Ehe ka! Ndaitofanira
kudaro
kuitira kuti ndigare ndichiziva muvengi
wangu.
Ndakadongorera ndokuona haikona kutaura!
Murume akanga akasimba iyeye asi
ndakanga
ndisina kunyanyosiyana naye.
Ndakambofunga
zvekuti ndibudikire kuseri kwegonhi uku
ndinzwe
zvaaida asi ndakazvidzora. Ndakanga
ndapinda
nehasha dzechipembere chadya mukonde.
Zvinhu
zvaigarondirwadza moyo kuvhimiwa
nevamwe
varume sezvinonzi ndaiva mukadzi.
Biggie akati obva pamusiwo pemba yangu
akabva
aona chipepa chichena chakanga
chakadonha
pasi. Semunhu aida kuziva zvakawanda
nezvangu, akabva anhonga chipepa chiya.
Chipepa chacho chakanga chakanyorwa
sezvizvi:
-------------------------------------------------------
-
*SAFEGUARD VEHICLE GUARDING
C.C.*
320 BOTHA DRIVE, NORKEM PARK 1475.
Date: 15/08/16
Name of customer: J. Sithole.
Vehicle model: Chevrolet Sonic.
Description of vehicle: Black private with
tinted
panels.
Condition: Brand New.
Vehicle Registration number: DJ 45 SB GP.
Number of days: 1(ONE).
Amount: R 95,00.
N.B. Don't forget to apply handbrake and
lock
doors and windows before leaving your
vehicle.
We are not responsible for any loss caused by
your negligence.
-------------------------------------------------------
---
Akaona kuti chipepa ichi chaiva chezuva
iroro.
Akati apedza kuverenga ndokubvunza Sylivia.
"Ko anonzi J. Sithole ndiani, nhai
vahanzvadzi?"
Ndichinzwa mubvunzo uyu ndakapinda
nekutya
pamwe nekuzarirwa zvakare. Biggie
aindijarira
kusvika pekupedzisira. Ndakangozviti
ndaisafanira kumhanya. Ndaifanira kumira
ndione zvaaida kuita iniwo
ndichanyatsomuongorora.
"Handizivi ini,"Sylivia akapindura.
Saka zvamaiti Jackson wacho ishamwari
yenyu,
munoita ushamwari nemunhu wamusingazivi
mutupo wake here?"
Mubvunzo waSylivia uyu wakakanga mate
mumukanwa maBiggie. Akambonyarara
zvishoma
ndokuzopindura.
"Hazvinei newe izvozvo! Ndati anonzi J.
Sithole
ndiani?"
"Ndati handimuzive."
Mudhara Biggie akabudisa foni yake
muhomwe
ndokufonera VaNdlovu.
*Biggie:* Boss! Ndaona kapepa kakanzi J.
Sithole. Ko Jackson anonzi Jackson ani?
*VaNdlovu:* Anonzi Jackson Sithole.
Wambobva
kuno uchiti uri kundotsvaga Jackson ani?
Heyi!
Mukuru. Musaita semwana mudiki mhani!
*Biggie:*Manje bepa racho riri kutaridza
kuti J.
Sithole wacho ane motokari.
*VaNdlovu:* Jackson haana motokari.
Motokari
yacho akaiwanepi? Pamwe arenda motokari
yeumwe.
*Biggie:* Aiwa ka, VaNdlovu. Ndiri kutaura
zvandaona. Zvakanakai boss.
Ndakabva ndatova nechokwadi chekuti
munhu
uyu akatumwa naVaNdlovu kuzonditsvaga.
Mwari aiva neni chokwadi. Zodzo yakanga
iri
mandiri. Ndakatanga kufunga rwendo
rwandakanga ndafamba kusvika nguva iyi
ndokuona kuti Mwari akanga aneni.
Ndiri kuseri kwegonhi kudaro ndakapfugama
ndokuita munamato usina manzwi anonzwika
nemunhu. Ndatsanangura kutadza kwangu
kose
ndichikumbira ruregerero. Ndakatsanangura
zvakanaka zvese zvandakaitirwa naMwari
ndichipa kutenda pazviri.
Biggie akazorasira pasi kapepa kaye
ndokubva
ati kuna Sylivia aizodzoka zvakare nokuti
ainyatsoziva kuti ndaivapo musi uyu. Kapepa
aka
yaiva receipt yandakapiwa pandaichengetesa
motokari ndichizoenda kukamba netsoka.
Receipt
iyi yakanga yandibatisa kuti ndaiva
nemotokari.
Mupfungwa dzangu ndakati motokari iyi
ndaizoipa Shirley ini ndotora yaShirley sezvo
haaiwanzofamba-famba.
Biggie akazobuda ndokuenda hake. Sylivia
akazonhonga receipt iya ndokupinda nayo
mumba mandaiva.
"Muri panguva yakaoma, mukoma Jackson.
Sei
vanhu vachikuvhimai zvakadai?" Sylivia
akadaro
achiratidza kundinzwira tsitsi. Zvomoita
ndezvekuti motorara muno nekuti munhu uyu
achadzoka. Mungaitwa kanyama kanyama
mumba menyu umo,"ndiSylivia uyu.
Handina kupindura hangu. Ndakangoramba
ndakati zii ndichifunga nezvemuedzo
wakanga
wava pamukova. Kurara muimba imwechete
nemunhu wechikadzi. Apa Sylivia wacho
akagara
achiratidza kundida. SAKA NDICHAITA
SEI?
Zvangu zvakanga zvanyanya sezvaJudhasi.
Vanhu ava vaimbozvizivawo here kuti ndaiva
pakaoma, ndaiva ne mhuri uye ndaiva
mhondi.
Upenyu zvahunomboita veduwee!
Sylivia akazobuda achienda kundotenga
grocery
ndokudzoka. Akabika akazopakura tikadya.
Patakapedza kudya, ndakambopindwa
nepfungwa
yekuti ndiwoneke ndiende kupurazi kana kuti
kwaStacey ndokuzofunga kuti ndaizodaro
ndakavandirwa panguva iyi. Receipt
yavakanga
ine tsanangudzo yemotokari yangu nokudaro
ndakava nechokwadi chekuti vakanga vava
kuiziva.
Zvaaniko nhai? Ndaitotya zvangu mvere
dzeshumba yakafa. Biggie zvaakasiya receipt
iyi
ndipo paakairasira. Nehanganwa dzaaiva
nadzo
dzakaita kuti asayeuka zvimiro zvemotokari
yangu iyoyi. Chaakangoyeuka izita rekuti J.
Sithole chete. Zvakare chikoro chaiva
chishoma
panaMudhara Biggie. Nguva yekurara
yakasvika,
Sylivia ndokugadzira pamubhedha wake.
Hapana
pamwe paakazogadzira zvinova zvakandipa
ruzivo pane zvaiva mupfungwa dzake. Sylivia
akanga akadyira musi watakasanga mu gym
nokudaro zuva iri akariona sezuva
rekuzadzisa
zvido zvake.
Handina kuda kumhanya, ndakaramba
ndakagara pasofa ndakatarisa zvangu
pachivhitivhiti izvo hapana zvaipinda
mumusoro.
Mudehenya makanga matozara mashura
andakanga ndatarisana nawo. Ndingasati
mashura here kuona nzombe ichidzinganisa
shumba?
KwaChiyadzwa kana wainzwa magweja
achidaidzira kuti "GWEJA NYUMWAWO!"
waibva waziva kuti kunze kwashata.
Ndaizotadza
nei kunyumwa iye awaridza pamubhedha
wake
chete? Ko ini muenzi ndaizorara papi? Izvo
zvekuda kutandira mambure mumadziva ese
ese
unozotanda mudziva rine ngwena. Ndaiziva
sei
kana Sylivia aiva nechirwere. Zvandakanga
ndaita pana Stacey naShirley ndaisafanira
kuzvidzokorodza.
Ndakabva ndati kwaari, "Ndinokumbirawo
gumbeze ndirare pano pasofa."
Achinzwa mashoko aya ,Sylivia
akabhohwekana
zvekuti akanga ofemera pamusoro sejon'osi
raiswa pajoka.
Ndakamuona zvangu pachiso chake kuti aiva
ane
zvikukutu zvaaifunga. Sylivia aiva musikana
aisashoreka pane vamwe asi ndakangoti
zvevakadzi izvi ndimbomira. Haana kuda
kundipa
gumbeze riya, akaramba akanyarara zvake.
Ndakangotora receipt raaiva aisa patafura
ndokubuda zvangu ndichienda pa flat yangu.
Ndakavhura musuwo ndokupinda.
Kana zvinhu zvikawanda mupfungwa mako
panguva imwe chete unobva waita semurwere
wepfungwa. Zvandakapinda mumba mangu
ndakabva ndakanganwa kukiya gonhi.
Chandakangoyeuka ndechekusabatidza
mwenje
wemumba umu. Pakati papera nguva
dzingangoita maminitsi gumi nemashanu
ndakanzwa pamusuwo kugogodzwa.
Mupfungwa
dzangu ndambofunga kuti aiva Sylivia here
asi
handina kudavira. Munhu wacho akagogodza
kanokwana kuita kana(4) , akazobva pagonhi
apa
ndokuenda paimba yaSylivia. Akagogodza
,Sylivia ndokudavira. Ndipo
pandakazozivawo
munhu uyu aisava Sylivia.
"Ndiani?"ndakanzwa inzwi ra Sylvia.
" Ndini. Ko haasati auya?,"ndiBiggie uyu.
Ndichinzwa mashoko aya ndakanzwa
kudzimbikana mumoyo zvikuru. Ndakatora
pfuti
yangu ndokuenda paseri pegonhi ndiye zii
ipapo.
"Auya asi anenge adzokera. Pamba pake
hapana
here?" Sylivia akadaro.
"Shit!"ndakadaro nechemumoyo ndiri seri
kwegonhi. Sylivia aizoudza munhu uyu?
Ndakabva ndaona kuti akanga atsamwa
nezvandanga ndamuitira.
Pasina chinguva ndakanzwa gonhi remba
yangu
kugogodzwa zvakare. Ndakanzwa mubato
wegonhi uchibatwa zviya zvekuedza kuvhura.
Ndipo pandakazoyeukawo kuti ndakanga
ndakanganwa kukiya musuwo. Biggie uya
akabva avhura musuwo uku pfuti
yakagadzirirwa
kupfura. Sezvamunongozivawo kuti ndaiva
ndiri
munhu kwekanguva kakati rebei, maziso angu
akanga ajaira rima raiva mumba umu.
Achingoti pindikiti................................
END OF CHAPTER 33.

CHAPTER 34.

Achingoti pindikiti kupinda mumba


mandaiva,ndakabva ndamugashira nebhutsu
yaasina kunzwisisa kuti yakabva nepi.
Ndakakurumidza kubanha maoko ayo akanga
akabata pfuti ichindoti kwakadaro uko
gwendere.
Handaina kuda kuswerotambisa mukana
nenguva
yangu, ndakabva ndaregeredza chibhakera
icho
chakaita sechichapesanisa shaya dzake.
Pakarepo ndakanzwa rume rava kuti pthu!
pthu!
ndikabva ndaziva kuti chakanga chosvipiwa
ichi
raiva ropa. Biggie akanzwa zvava
kumukurira
akati atsamwa zvino. Ndakanga ndadenha
chipembere pachokwadi nokudaro ndaifanira
kukwinya.
Kufa kwemurume hubuda ura, Biggie
zvaakaziva
kurutivi rwandaiva, akabva aita semubati
webhora aroverwa penalty ndokundibata
zvine
simba achindisundidzira pasi. Takabva taita
gumi
rakadya vaviri ndichirovera pauriri negotsi.
Chakava chibata murefu bata mupfupi
chakaitika
panguva iyo. Pakanga pasangana handira
chaidzo, hofori dzakarerwa nesadza
remapfunde.
Takaumburudzana tiri pasi kudaro
kwechinguva.
Paakati awana mukana zvino, Biggie
akabudisa
banga rake muhomwe iro raivhurwa
nekudzvanya
ka button. Pandakangonzwa karuzha
kekuvhurika
kwebanga ndipo pandakaziva kuti raiva
banga.
Ndakariziva zve! Handiti ndisu taiva
vashandisi
vawo. Paakada kuti asimudze banga,
ndakabva
ndamuti dzvii kubata ruoko raiva rwakabata
irworwo. Apa ndakatobata zviya
zvekutindaisafanira kukurirwa.
Takakwikwidzana
masimba kusvikira dikita rava kuti teu teu.
Pakurwisana kwataiita uku ndakabva ndaona
kuti
zvaisava nyore kukurira Biggie. Ndipo
pandakazopindwa nepfungwa yekuti kana
ukarwisana nechikuriri chine simba
rakaenzana
nerako, chinotodiwa ipapo ndechekuti
ushandise
njere. Vakamboona panorwa machongwe
vanonyatsoziva kuti jongwe rine munyati
ndiro
rinokunda. Rine munyati rinoti richirwa
nerimwe,
rikaona kuti rimwe racho rine simba
rakawanda
zvekuti harikuririke nyore. Unoona roita
sekuti
riri kuda kuchoora-choora pasi. Rimwe
rikaita
sekuti roda kuita zvariri kuita ,rinobva
rarumwa
muchochororo. Zvakare Rinenge raruma
hariregedzi. Ini ndakatangawo kutsvaga
mukana
wakaita saiwoyu.
Zvandanga ndakamubata nerumwe ruoko
ndakagarwa matunduru kudaro. Hongu,
maiva
murima zvamo asi Biggie ndakanga
ndichiona
zvaari nekuda kwe chiedza chaibva
kumafafitera.
Rumwe ruoko rwangu rwakanga
rwakasununguka zvekuti ndakafunga
kutosvora
maziso aBiggie nezvigunwe. Ndakabva
ndakoka
simba rose ndokubva ndamubaya nezvigunwe
zvinoshandisa nemuputi kubata mudzanga.
"Yowe! Shhhhh!" akadaro Biggie
nekazevezeve
pandakamutosvora.
Akabva adonhedza banga achibva abata
kumeso.
Ndakabva ndamusundidzira kwakadaro uko
ndichibva ndamuka. Ndakapindwa
nepfungwa
yekuti ndimudambure huro asi imwe pfungwa
yakati ndikauraya munhu mumba mangu
zvinenge zviri pachena kuti ndini
ndamuuraya.
Ndakabatidza mwenje wemumba kuti
ndinyatsoona kuti munhu uyu aimbova ani
chaizvo. Ndakatarisa wanei chiso chaisava
chitsva kwandiri. Ndakaedza kubatanidza
pfungwa ndokushaya.
Handina kuda kufunga zvakawanda.
Ndakatora
banga nepfuti yake Ndokuzviisa kure nokuti
ndakaziva kuti kana aizosimuka paakanga
agere
aizondikuvadza nazvo.
Ndakazofunga zvekufonera mapurisa
andaishanda nawo kuti aone mashura
akanga
aitika mumba mangu umu. Ndakazodeedza
Sylivia kuti audzewo vamwe vanhu zvaitika
kwandiri. Akanga atorara zvake wena
panguva
yandaiva papfumvu kudaro. Kudai
zvakafamba
nepamwe aitozondiona ndava chando.
Chimwe
chikwata chemapurisa aipinda nguva
dzemanheru chakapinda mumotokari
ndokupinda
munzira vachiuya. Ndakazofungawo
zvekufonera
Stacey seumwe mupurisa wandaishanda
naye.
Hongu, rudo rwaivapo asi panguva iyi
ndakaitira
kuti aonewo zvandakanga ndasangana nazvo.
"Hello, Stacey! Ndapotsa ndauraiwa neumwe
munhu, shaa. Huya uone,"ndakadaro
ndichifonera Stacey.
"Jackson! Ndakuudza kuti hande kumba iwe
tana
kuramba. Nharo dzako dzichakuurayisa. Sei
usingateereri zvaunoudzwa nevamwe? Eish!
Unoda kuti mwana wandakatakura uyu akure
asina baba here? Tererawo ndichikuudza
zvimwe
zvinhu. Uchiri nepfungwa yekuti pfungwa
dzemunhukadzi hadzitevedzwe
nhai?"ndiStacey
uyu akanga opopota asingandipe mukana
wekuti
nditaure. Akazondibvunza,"Wada kuurairwa
kupi
ko?
"Mumba mangu,"ndakapindura.
"Zvakanaka ndiri kusvikako,"akadaro
achirongedza kuti apinde munzira.
~~~~~~~~~~~~~~~~~
"Ko nhai vanhu imi! Ndiri kupi ini?,"Ava
ndivaDube pavakapepuka kubva
kunyikadzimu.
Vakataura nekanzwi kainzwika nechekure
zvokuti
mapurisa airinda mu ward mukamuri
mavaiva
havana kuzvinzwa. Akakwanisa kunzwa
mashoko
aya ndimukoti uyo aiva agere padivi
pemubhedha
wavo.
Mukoti akaita seasina kunzwa mushe sezvo
akanga ari mubishi rekunyoreranq
neshamwari
dzake pa Whatsapp. Munongozivawo kuti
munhu
unokwanisa kunzwa zvinhu asi zvikasapinda
mupfungwa hapana chaunenge wanzwa.
Unotozoita zvekuyeuka kuti pane chawanzwa
kana pfungwa dzakutaurira izvozvo.
"Nhai imi. Ndati ndiudzeiwo kuti ndiri
kupi?,"VaDube vakadzokorora zvakare.
Mukoti akazonzwa kuti pane zvataurwa
naVaDube ndokuvatarisa.
"Ko mukadzi nevana vangu varipi zvandiri
muno? Mungandiudzawo here kuti chii chiri
kumboitika?"
Mukoti haana zvaakapindura. Akabva
asimudza
runhare ndokufonera chiremba.
"Doctor! Mhanyai kuno nekukurumidza!
Pane
zviri kutaurwa nababa ava asi handisi
kunzwa
kuti vari kuti kudii."
Chiremba akasiya zvaakanga achiita kuhofisi
kwake ndokumhanyira kwaakanga adanwa.
Vana
Constable Mpofu avo vaiva pachijana
panguva
iyi vakanzwa zvaitaurwa namukoti ndokubva
kugonhi kwavaiva vagere ndokuuya
panamukoti.
"Zvaita sei nhai,Tete?"ndiCst.Mpofu uyu.
"Pane zviri kutaurwa nababa ava asi hazvisi
kunyatsonzwika nokuti vari kutaurira kure
kure."
Cst. Mpofu naCst. Monica Mlambo
vachiswedera
pedyo, zvakabva zvashamisa VaDube.
Vakanyatsotarisa vaviri ava zvine mubvunzo
dzakakawanda kupfuura zvavaibvunza.
Kuita kwaVaDube kwakanga kotaridza kuti
vakanga kuona uye kuziva zvakanga
zvichiitika.
Pasina nguva refu, chiremba akabva apinda
ndosvikonanga panaVaDube. Akatora
sthethoscope yake ndokuiisa pachifuva
chaVaDube kuti anzwe marovero aiita hana
yavo
ndokunzwa kuti yakanga yavakurova zviri
nani
sezvinotarisirwa kuitwa nehana yemunhu
mutano.
Akatora thermometer ndokuisa muhapwa
mavo.
Akazobvisa thermometer iya ndokuona kuti
muviri wakanga uchiri kupisa kupfuura
mwero.
Yaiva pa37,8°C. Akazoti kuna mukoti,"
Hapana
chero inzwi ramanzwa here?"
"Ndangonzwa kuti vaitaura chete asi
zvaisanzwika mushe,"mukoti akapindura.
"Zvakanaka. Hapana chakanyanyoipa.
Muviri
wavo ndiwo uchiri kupisa asi hana yavo iri
kurova zvakanaka. Maronda ari kutaridza
kupora. Ndinovimba kuti mushure mevhiki
vanenge vanaya. .
~~~~~~~~~~~~~~~~~
VaNdlovu zvavakasara kumba kwavo Biggie
achiuya kumbauf kwangu, vakagarira vaiva
nechidokwa-dokwa chekunzwa kuti
ndabatwa.
Vakanga vachingotenderera nemba yose
pasina
zvavaiita zvine musoro. Kuva mupenyu
kwangu
kwakanga kwavashayisa mufaro. .
Zvinoitika kazhinji ndezvekuti kana munhu
achishuwira kuti umwe munhu awirwe
nezvakaipa hazviwanzobudirira.
Zvinobudirira
kana musiki ari iye ati ngazviitike. Kudai
kudai
kwemunhu kwaiitika nguva dzose ndine
chokwadi
chekuti vazhinji vedu tingadai tiri
mumabwiro
kutaura kuno. Dzimwe nhambo unenge
uchivengerwa pasina mhosva. Pamwe pacho
unotovengwa nekuda kwekuti wabudirira
muupenyu, kugona chikoro, kutenga motokari
kana kuti wavakisa imba inodhura. Unenge
usina
kutuka munhu asi wotoshuvirwa rufu nekuda
kwekubudirira muupenyu. Vanhu vamwari
tisadaro. Tsvagai mazano kune vanenge
vabudirira pane kuda kuparadza kana
kumwaya
tsito mumukaka.
Nguva dzakafamba kusvikira pakati peusiku
VaNdlovu vakamirira Biggie kuti adzoke.
"Gonzo uyu haasati adzoka nazvino. Mukati
kwakanaka ikoku? Kana akundikana hake
aifanira kudzoka nguva iripo tozotsvaga
mamwe
mazano. Zvino kana ava kugara ikoko toziva
zvipi?,"VaNdlovu vakanga votaura vega
semunhu ava kupenga. "SAKA NDICHAITA
SEI
kana Bigman Gonzo uyu akabatwa? Nawo
mazita
atinawo aya anotiparira. Hanzi
GONZO...............
Gonzo hariwanzopunyuka pachikirimbani
mhani.
Rinenge ratobatwa izvozvi. Hmmm!"
VaNdlovu vakazopinda zvavo mukamuri
yekurara
ndokurara. Vakatozobiwa nehope pava paya
sezvo pfungwa dzakanga dzisina
kugadzikana. .
~~~~~~~~~~~~~~~~~
Pakufonera kwandaita Stacey nemamwe
mapurisa, Shirley handina kuda kumufonera
nekuti ndakatoziva kuti haazorara.
Kumufonera
ndichichummudza nyaya iyi kwaizoita kuti
Shirley
afunge zvakaitwa mai vake nehanzvadzi yake.
Amai nehanzvadzi yake vakaurayiwa achiona
ka ,
zvakare vakaurayirwa pacomplex pandairoja
ipapo. Ndakangoti ndozomuudza
pandichaenda
kupurazi.
Iye Shirley wacho zvaakaonawo kuti nguva
dzakanga dzafamba ndisati ndasvika kumba
akabva atangawo kuva nekashushikana kuti
sei
ndaisaenda kumba mamwe mazuva.
Aingonzwa
kugara aneni nguva dzose. Aitokanganiswa
nekuenda kwangu kubasa pachokwadi.
Hameno
kuti ndizvo zvinoita mimba here izvozvo.
Kana
zvirizvo, inga zvakatooma hazvo. Zvinoda
hushingi sehwemunhu anodya sadza
remapfunde
asina kutswiwa. Anotonyatsoziva kuti anodya
hake asi kuchimbuzi kuchabuda nyaya
hombe.
Shirley akazonyangirwa nehope
ndokukotsira.
Pandakanga ndakamirira mapurisa kuti auye
ndakati ndimbopinda muchimbuzi
kumbozvibatsira. Uyuwo Biggie akati
mukana
waita. Akangoti kwaku ndokumhanya
akananga
pa elevator. Kugara kwangu kwese handina
kufunga kuti angatiza nekuda
kwematosvorero
andakanga ndamuita. Akatiza nokuti mumoyo
make akatadza kuzvigamuchira zvekupinda
mumaoko emapurisa. Zvaaniwo zvakaita?
Ndingabata munhu ndorega kumusunga.
Ruvimbo rudzii rwakandaita kwaari?
Ndakazonzwa Sylivia ondidaidza," Mukoma
Jackson! Mukoma Jackson! Munhu uya
otiza!" .
Ndakabuda ndiri chahwiriri ndisina kupedza
zvandaiita imomo ndichimhanyira kugonhi.
Imwe
pfungwa yakanga yoti Biggie haana kutora
pfuti
nebanga rake here pandakanga ndazviisa.
Ndakasvikotarisa pandakanga ndaisa banga
nepfuti ndokuwana zviripo. Ndakabva ndati
,"Mwari wangu! Ndakanga ndaita mistake
hombe
kusasunga Biggie. Mhondi haiitirwe
zvemakanya
kana waibata , kunyangwe ichirwadziwa sei.
Ndakasvika pa elevator iye atova pa ground
floor
ku gym kuya. Akamhanya akananga kugedhe
ndokuona rakavharika. Gadhi haana
kumuona
kusvika kwake nokuti aiva mubishi kunyora
OB
book. .
Pfumvu yaBiggie yakazova pakuti gedhe
raivhurwa ne remote kana kudzvanya
nhamba
dzaiti 1357# pakabhokisi kaiva pamadziro e
guardroom. VaBiggie vangu nhiya, nhamba
dzacho taidziziva here? Zvaitoda kuti ataure
nagadhi. Zvino nezvaange akaita izvozvo
aizovhurirwa sei? Gadhi aitoona kuti
kwakanga
kwabviwa kwaisava kutsvene. .
"Nhasi zvangu ini! Saka ndichaita sei kuti
ndibude muno? Ndingamirira kuvharirwa
mujere
here? Nhasi zvandiwana chokwadi,"
ndiBiggie
aidaro nechemumoyo. Akaona kuti
haaizopabudirira ndiye tendeuke
achimhanyira
paiva ne dustbin ndokupinda ozvivharira
imomo.
Ini ndakazobuda ndichimhanya ndakanangà
kugedhe ndokusvikobvunza gadhi," Ko
nhai,Chief, Munhu auya kuno achitiza
mamuona
here?"
Gadhi akashamisika paakandiona. Aisaziva
kuti
ndaivapo musi uyu sezvo ndakapinda
nemotokari
yaaisaziva. Zvakare yaiva nemafasitera akati
ndoo kusviba.
"Aika! Muri muno su, Officer? Ko
kuzomhanya
makanyangara seseri kwemusha kudaro, chii
chiri kumboitika?"ndigadhi aitaura uyu.
"Heyi! Ndati munhu amhanya achiuya kuno
mamuona here?,"ndakabvunza zvakare
ndadumbirwa nehasha.
"Hapana munhu wandamboona achiuya
kuno,
Officer. Paita munhu asvika achikutsvagai
nguva
yapfuura, achiti ishamwari yenyu.
Ndamuudza
kuti hamupo asi iye ati aida kuzvionera.
Ndazomuvhurira ndokuuya ikoko pari, pari
zvino
haasati adzoka."
"Yesses! Mutemo wecomplex ino unoti kudii
maerarano nekuvhurwa kwegedhe?
Munotiurayisa nezvamuri kuita izvi.
Ndapotsa
ndaurayiwa nemunhu iyeye,"ndakanga
ndatsamwa zvino.
Nenguva isipi, VaMugoni, Stacey negen'a
yaishanda pachijana cheusiku yakabva
yasvika.
Vakasvikomira pagedhe apa magidi akanga
atogadzirirwa kuita basa.
"Constable! Ko zvaita sei? Eeh! Eeh! Kuzoita
sekuti mairwa, zvafamba sei?," vakadaro
VaMugoni vachiona chimiro chandaiva
nacho. .
Pane munhu auya kuzondirwisa mumba
mangu.
Ndazomukurira ndokubva atiza akananga
kugedhe kuno. Zvino gadhi uyu ari kuti
haana
kumuona,"ndakatsanangurira VaMugoni
zvakaitika.
"Ko haana kubuda here?"
Gadhi akabva apindura,"Handina munhu
wandambovhurira gedhe pano. Arimo muno."
"Tsvagai munhu vakomana!"vakadaro
VaMugoni.
Chakava chipatapata kutsvaga Biggie. Amwe
mapurisa akasara pagedhe vamwe
ndokupinda
mukati. Hapana pakasara pasina kutsvagwa
kunze kwemu bin maiva naBiggie. Mu bin
umu
mainhuwa zvisingaite asi Biggie
akazokurirwa
nemunhuwi uyu ndokubva akotsora. Mudzimu
wake wakanga wadambura mbereko.
Mapurisa
akangonanga pa bin paye
ndoku........................
END OF CHAPTER 34.

CHAPTER 35

.
Biggie zvaakakotsora ari mu bin muye.
Mapurisa
akananga pabin paye vakatendekera pfuti
ndokuvhura kuvhura bin. Mudhara Biggie
dzakanga dzongoti maziso boi boi sechihuta
chabatwa pamusungo. Aizodii iye atokombwa
nanamugaradzakasungwa.
"Eee! Vakuru! Chii chiri kumboitika? Muri
kudei
muno?", vaMugoni vakabvunza.
"Nda--- nda--- ndino-- ndau---,"Biggie
akandandama achishaya kuti otangira papi.
"Hezvo! Tava mukirasi re Grade 1 here
zvatava
kuitiswa ma nda nde ndi ndo ndu? Tiri kuti
isu,
muri kudei muno?"
"Ndanzi ndiuye kuzoona Jackson. Aaa!
Ummm!
Ndauya kuzoona Jackson."
"Wanzi uuye nani? Heyi! Vakomana. Pano
panenge pane nyaya. Sungai munhu uyu
tiende
naye azonyatsotaura nyaya yake kwaedza."
Nguva dzafamba idzi. Toda kundozorora."
"Handina kutumwa. Jackson ihama yangu.
Ava
kundipandukira, ndiBiggie akataura mashoko
aya.
"Aizve! Wamboti watumwa, izvezvi woti
Jackson
ishamwari yako. Toziva zvipi zvino?"
"Hanzi naiye imhondi uyu,"
VaMugoni vakazopindura," Uri kuti hanzi
hanzi,
naniko iyeye?
Ndichinzwa mashoko aya ndakavira nehasha.
Ndakada kuenda kundomukwatidza nembama
ndokubva ndabatwa naStacey. "Aiwa!
Hazvinzarwo. Munhu ava mumaoko
emapurisa
haarohwi. Vamwe ndivo vangatorova kana
vachitsvaga humbowo. Iwe mutadzirwi
haubvumidzwe kurova,"akadaro Stacey.
Mapurisa akazosunga Biggie ndokubva
aendeswa
kukamba. Ini ndakabva ndavaudza kuti
ndosara
ndozotevera kukamba pazuva raitevera
racho.
"Jackson,hausari. Tsvaga kumwe
kwekundorara.
Unovingwa nevamwe vemunhu uyu,"akadaro
Stacey. Akataura mashoko aya achiita sekuti
aindinzwira tsitsi asi chokwadi ndechekuti
aida
kuti ndiende naye kumba kwake. Zvakabva
zvatsinhidzirwa neumwe mupurisa.
"Icho ichokwadi,Jackson. Munhu uyu
haazvite ari
ega. Chitori chikwata chemhondi ichi asi
chiripo
ndechekuti hatisi kuziva mashandire acho."
Mupurisa uyu akanga otaura seane muti
mudama. Kahana kangu kakamborova
ndichinzwa mashoko emupurisa uyu.
Pfungwa
dzangu dzakambofunga kuti mukubatwa
kwevanhu ava kuchawanzokonzera kuti neni
ndisungwewo nekuti ndaivawo mumwe
wechikwata ichi. Ndini ndakauraya VaTrevor
Musole naStation Commander, amai Bridget
Mleya, wepakamba pedu apa naizvozvo
mhosva
yaitovapo. Zvakare VaNdlovu naBiggie
vaiziva
nezvenyaya iyi.
"Hmm! Saka ndichaita sei? Nyaya iyi
veduwee!,
ndakadaro nechemumoyo. Hapana divi
rakanga
rakanga rakanaka kwandiri. Ukuwo kudivi
rezverudo, musi wandaizotosvorana naStacey
ndiwo musi wandaizoziva chakadya nyanga
dzamukoma dhongi.
Biggie akaiswa njema mumaoko nemakumbo.
Ndokubva aiswa mumotokari. Motokari
dzavhetemeswa ndiye hutu dzakananga
kukamba.
Iniwo ndakavaudza kuti ndaida kumbotora
zvinhu
zvangu kumba ndokubva ndaperekedzwa
naStacey. Veduwee! Stacey zvaakanga ava
kuita
panguva iyi zvakapa mibvunzo nefungidziro
kuvamwe vangu kuti taidanana. Akanga
asingachadi kusiyana neni. Takaenda
kukamuri
kwangu ndokutora zvandaida kutora imomo.
Ndakabva ndaudza Stacey nezvebanga
nepfuti
zvaBiggie ndokubva tazvitora.
Ndakazvibatisa
Stacey ndokuenda kwaiva nemotokari yangu.
Stacey akashamisika kuona Chev Sonic
yangu.
"Ko imotokari yaani yauri kuvhura
iyi?,"akabvunza Stacey.
"Ndeyangu. Ndaudza iwe chete. Handisi kuda
kuti zvizivikanwe kuti ndine motokari.
Ndingaurayiwa."ndakapindura zvangu
ndichitora
zvandaitora imomo. Takazopinda munzira
ndokuenda kumba kwaStacey. Takasvika
ndikageza ropa randanga ndazodzwa
naBiggie.
Tazopinda mu bedroom ndokubva tarara.
Kudai
mhino yangu yakafema munhuhwi wezvaida
kuitika pazuva rechimangwana racho ndaidai
ndakanyepera kurwara hangu! Ko
chaimbova
chii? Handei mberi tinzwe!
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Mai Chriesanthem, kubvira musi
wavakakurukura naMai Zuze nezvenyaya
yezvemukono wavo wakasiya danga rawo
uchipembera nenyika, vakaronga musi
wekuuya
zvakare kuzonditsvaga. Musi wacho
wakasvika
ndokugadzirira rwendo rwavo. Wakanga uri
musi
weMugovera.
"Jackson Junior! Sara nevana zvakanaka,
ndoda
kumboenda kuKempton Park. Ndinodzoka
manheru,"vakarayira dangwe rangu
zvaaizofanira kuita. Musi uyu ndiwo
wandakamukawo ndiri kwaStacey
kwandakanga
ndarara usiku hwanga huchangopfuura.
Vakapinda mumotokari yavo ndokupinda
munzira.
Ukowo kupurazi, Shirley zvaakaona ndisina
kuuya kumba zvakamunetsa zvikuru kuti azive
kuti ndakanga ndarara kupi.
"Mukoma kusvika nguva ino vasati vadzoka,
mukati kwakanaka ikoku? Vava
kundinyanyira .
Handichada kuswera ndisina kuvaona ini.
Ndichavaudza kuti vambokumbirawo leave.
Basa
rinoshandwa kuchizororwawo. Ndokusaka
vakanzi ndivanaMugaradzakasungwa.
Kusaziva
zvako kuti dziri kugara dzakasungwa apa
chinombova chii? Ibhutsu here kana kuti
zvimwe
zvinhu? Nhumbu yangu iri kukura wena.
Ndichazvara mwana rudzii? Hmmm! Zvaida
kuti
ndimboenda kucheck-up. Chinguri ndakabata
pamuviri handisati ndamboenda kuchipatara.
Itori imwe nyaya iyi,"Shirley aingozvipa
mibvunzo isina aipindura akarara zvake
muimba
yekurara. Akazofunga kumuka achikuuya
kukamba mangwana wacho waiva iwo musi
wemugovera.
Iniwo zvandakarara kumba kwaStacey,
takava
nehusiku hutsvene chose. Takava nenguva
yaifadza chaizvo kunyangwe zvazvo ndaiva
ndine
marwadzo ekurwisana naBiggie. Mazirudo
akanga asiri enhamo zvekuti aitozadza saga
nehafu.
"Nhai,dear. Nhasi tichanonoka kubasa. Uri
kuona pava nenguva here?"akadaro Stacey
achindimutsa. Ini ndakanga ndatova kudenga
rechinomwe chaiko. Dzakanga dzandibata
sekasvava kuguta mukaka waamai vako.
"Hmmmm! Yava nguvai?"ndakadaro
ndichishama ny'ai.
" 5 o'clock. Apa tichada kugeza nekudya.
Tingaenda tisina kumbonwa chero komichi
yeputugadzike here?"akadaro Stacey
achipedzisa
kupfeka imwe shangu yake. . Gadziriro
yakaitwa
ndokubva tapinda mumotokari ndiye tande
nemugwagwa kuenda kukamba. Mugwagwa
wakanga wazara dzimotokari zvekuti pamwe
pacho taitofamba zvekunanaira chaiko.
Takasvika kumba ndokubva taburuka.
Mamwe
mapurisa achitiona akatanga kuzevezerana
vachitaura nezvedu.
"Nhai iwe! Mafambiro ari kuita
matikitivha(Detective Agents) aya uri
kumaonawo
sei?"
"Wabvunza mubvunzo wandaiva nawo
mupfungwa dzangu. Hongu, tinoziva kuti
vanoshanda vese asi zvimwe zvacho
zvazonyanya.
Vanenge vakatoroorana ava."ndeumwe
mupurisa
uyu.
"Iyo nhumbu ina Stacey mukati haisi
yaJackson
iyeyu?"
Vakabva vaseka zvavo vakaviga zviso zvavo
kuti
tisaona kuti vari kuseka.
Umwe akazoti,"Ndinovimba kuti vanga vari
vose
usiku hwapfuura ihwohwu."
"Hmmm! Iwe! Siyana nevanodanana. "
Vachiri pakati penhaurirano yavo iyi, nguva
yekuenda ku Parade yakakwana ndokubva
tafora
tichienda ikoko. VaNdlovu vakanga varipo
zvavo.
Vaizivei kuti mumwe wavo wakasungwa.
Mitemo
inosungirwa kuti mapurisa ese anenge ari
pachijana aite, dzakaverengwa
kuchizoteverawo
mabasa aifanira kuitwa musi uyu. Veku
Patrol
vakadomwa, ve traffic support vakadomwawo
zvakare. Matikitivha nevamwe vechikuru tisu
taizomirira nyaya yaBiggie uyo akanga
abatwa
usiku hwakanga hwapfuura. Izvi zvakarovesa
vaNdlovu nehana zvekuti vakapera simba.
Parade
yakazopera umwe noumwe ndokuenda
kwaaishandira.
Tichingobva paParade, mukamba makabva
mapinda motokari yandaiziva. Ndichiti ba!
Kutarisa registration number yemotokari,
ndakarohwa nehana. Simba rakapera kuti
hwaa
ndiye pwashasha sevhiri remotokari rapera
mweya. Zvaisetsa imbwa nemadhongi
zvakanga
zvandimirira musi uyu. Heyi! Saka ndichaita
sei?
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~ VaNdlovu
zvavakazorara Biggie asina kudzoka,
kwakatozosvika pakuedza pasina munhu ati
gogogoi.
"Biggie haasati adzoka. Kwakanaka ikoku?
Haa!
Hameno. Tomirira kunzwa
zvichaitika."ndiVaNdlovu ava.
Vakazogadzirira ndokupinda mumotokari
yavo
vachibva vananga kubasa. Vachisvika
vangoona
zvinhu zvakamira zvakanaka sezvo mapurisa
haana kutaura-taura nezvaBiggie uyu.
Havana
kuda kuudza vaNdlovu nekuti fungidziro
yekuti
vaNdlovu vaiva mumwe wemhondi yakanga
iri
mavari. Vakatozorohwa nehana pavakanzwa
nyaya yaBiggie yotaurwa paParade.
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Musi weMugovera uyu, Shirley akamuka
rungwanani-ngwanani ndokugeza.
Akagadzirira
putugadzike ndokunwa zvake, uku pfungwa
dzaingoshushikana nekusauya kwangu kumba
manheru akanga apfuura. Akabva abudisa
kaPeugeot kake mugaraji ndokuvhara
musiwo
achibva apinda munzira kuuya kukamba.
Aizivei
kuti zvinhu zvichamira nepamwe. Regai
tinzwe
zvakazotevera.
~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~~
Mai Chrie pavakapedza kuraira Jackson
Junior
anova iro dangwe redu, vakabva vapinda
munzira kuuya kuzonditsvaga. Vakatanga
kuenda
kwandairoja kuye kunova ndiko
kwandakanga
ndarwisana naBiggie. Vakasvika ndokutaura
nagadhi aivapo.
"Mangwanani, vahanzvadzi?"vakadaro Mai
Chrie.
"Mangwanani, makadii zvenyu? Tokubatsirai
nei?"akapindura gadhi nechimbichimbi
zvairatidza kuti akanga akabatika.
"Ndiri nani. Ndingaonawo VaJackson Sithole
here?"
Gadhi paakanzwa zita rangu akabva aziva
kuti
ndini ndaitsvagwa.
"Vari kubasa. Kwakanaka here, nhai
mhaiyo?"
Vachinzwa izvi, mai Chrie vakabva vanzwa
kamoyo kakurerukirwa nekuti vakabva vaziva
kuti
ndaiva mupenyu. Nerimwe divi vakanga
vakatsamwa sechipembere chakakuvadzwa.
"Kwakanaka zvako. Murume wangu."Mai
Chrie
vakapindura.
"Murume wenyu? Sei muchirega murume
achigara ega? Nezura akapotsa aurayiwa
nematsotsi mumba make imomo. Verengai OB
Entry iyi munzwe,"mashoko aya akashayisa
Mai
Chrie zvekutaura. Zvakavanetsa kuti vati
vairambidzwa kugara neni here kana kuti.
Chakazokwanisa kutaura ndechekuti vaigara
kumba nevana.
"Murume wenyu aidai akafa nezuro.
Ndasvika
pabasa mangwanani ano nyaya
dzaingotaurwa
ndedzekurwisana kwaakaita nemunhu aida
kumuuraya. Tendai Mwari, amai. Maidai
mava
shirikadzi,"ndigadhi uyu.
Mai Chrie vakamboita chinguva vakanyara
vachifunga mashoko avakanga vaudzwa.
Vaizivei
kuti kumberi kwavari kuenda kuchabuda
mashura
semwana azvarwa ane ndebvu kana kuti
mbudzi
yazvara imbwa.
"Ndodamba sei kuenda kukamba
kwavanosha?"
Gadhi akabva avaraira nzira,"Pindai
munaElgin
Road iyo iri apo modzika nayo. Kumberi
ikoko
muchaona ma traffic lights(robots), pane
mugwagwa unodimura Elgin Road iyoyo. Imi
mobva maruramira kurudyi. Mugwagwa
wacho
unonzi Swarthout Avenue. Mukafamba
kwechinhamwe chingangoita makiromita
mana
muoona kamba yemapurisa kurutivi
rwekuruboshwe, ndipo ipapo. Hamurasike.
Iko
kusaziva kubasa kwemurume wenyu,
munomuda
zvechokwadi here?"
Mai Chrie vakangotenda gadhi nekurairwa
nzira
ndokupinda mumotokari vachibva vauya
kukamba kwandaiva. Ndivo vaiva nemotokari
yandakaona ichipinda pagedhe ndikaiziva.
Vakaburuka ndokubva vakanda nhanho
vachiuya
kuCharge Office.
Zvichakadaro, kedu Shirley kakabva kasvika
nemotokari yacho ndokuimisa pedo neyaMai
Chrie ndoku-----------------------

END OF CHAPTER 35.

CHAPTER 36.

Zvichakadaro, kedu Shirley kakabva kasvika


nemotokari yako ndokuimisa pedyo neyaMai
Chrie. Akabva aburuka mumotokari
ndokufamba achiuya kuCharge Office.
Shirley handina kunge ndamuona kusvika
kwake pakamba sezvo pfungwa dzakanga
dzava kufunga nezvaMai Chrie naStacey.

Chirema hachipererwe nemazano,


chinotamba chakazendama pamadziro.
Ndakabva ndasimuka pandaiva ndigere
ndokunanga kune rimwe gonhi ndichiita
sendaida kundotora bepanhau reDaily Sun iro
raiunzwa zuva rega rega. Ndakabva ndabuda
neumwe mukova ndokunanga kuchimbuzi.

"Ndazopinda parumananzombe zvino! Stacey


paachanzwa kuti Mai Jackson Junior(Mai
Chrie) mukadzi wangu, achazvitora sei? Ko
ivo Mai J.J. ava pavachanzwa kuti Stacey ane
nhumbu yangu vachazvitora sei? Baba vangu
Moyo imi! VaMareranherera vanorera
nedzavamwe, ndinopabuda ipapa? Rerai
dzavamwe asi musakanganwawozve mhuru
yenyu. SAKA NDICHAITA SEI,
Mushayachiraswa woyee! Mungaita
murambamhuru kwandiri, imi muchirera
dzevamwe?"ndini uyo,pandaiva
muchimbuzi. Umwe mupurisa aipfuura
nepedyo nechimbuzi akashamisika kuti ko
gusvi raipondwa umu raimbova rei.
Ndakanga ndatovhiringika pfungwa
zvechokwadi. Handina kuziva kuti
zvandaidetemba kudaro ndaitobudisa manzwi
ainzwika nevaiva kunze. Ko kuzoponda
gusvi? Hahahaha! Zvakanga zvakaoma
sekutsenga jecha. Ndiri muchimbuzi imomo,
ndakaona zvakakodzera kuti ndizvininipise
pakadai. Zvaida kupfavira ngoma sezvo shiri
ndiyo yaiva nerekeni. Apa regai nditi shiri
ndidzo dzaiva nerekeni. Kudai yaiva shiri
imwe ndaidai ndakagaya zano rekupunyuka
naro.

"Regai ndiendeko. Chauya chauya,


ndichagotya kununa sei ini ndakasasikwa?
Ndinonzi Jackson ini! Ndakapunyuka
munyatwa dzakawanda!"ndakazvisimbaradza
ndichibuda muchimbuzi umu. Ndaizivei kuti
ndaifunga zvisizvo? Mupfungwa mangu
ndaiti ndaienda kundorwisana nevanhu vaviri.
Izvo umwe munhu wandaisafungira kuti
angavapo, anova iye Shirley, akandityora-
tyora muviri wese pandakamuona. .

Mai Chrie vachisvika paCharge Office havana


kunge vandiona pandakanzvenga ndichienda
kuchimbuzi. Vakasvika ndokugogodza
vachibva vanzi vapinde. Stacey akanga
achigadzirira mafaira nebhuku rainyorwa ma
dockets, izvo zvaida kuzoshandiswa
pakubvunzurudza nyaya yaBiggie.

"Pindai zvenyu, ambuya,"vakadaro vaMugoni


pakaona Mai Chrie vachigogodza.

"Garai zvenyu nepabench apo."

Mai Chrie vakabva vagara pachigaro


chairehwa.

"Tokubatsirai nei, nhai Mhaiyo? Tiudzei kuti


maitwa sei nemurume? Marohwa here?
Nokuti tinoziva kuti madzimai anouya
kuzomhan'ara ruchiri rungwanani kudai,
nyaya dzacho ndedzevarume vari kupedzera
mari kudoro vasingabhadharire vana chikoro.
Hahahaha! Pamwe murume atozouya
kwaedza kubva kupfambi
kwaakarara,"ndivaMugoni vaitoseka zvavo.
Zvaizivikanwa here kuti mukadzi
wavaitsvinya kudaro aiva mukadzi wangu?
Kamba yose yaisaziva kuti ndine mukadzi
kunze kweavo vandakaudza. Ushamwari
naStacey hwakatangira pakuferefeta nyaya
nokudaro hatina kunge taudzana nyaya
dzemhuri. Akambobvunza hake asi handina
kuda kumuudza chokwadi sezvo mutemo
wechikwata cheLEOPARD CLAWS
GANGSTERS waisabvumira izvozvo.

"Makadii vanamukoma navanatete?


Ndauyawo pano ndichitsvaga murume
wa.........,"Mai Chrie vakabva vadimburwa
zvavaitaura naVaMugoni.

"Zvandataura zviya. Hezvo! Mazvinzwira ka ,


ma officers. Varume vanetsa mudzimba
umu,"Vakadaro VaMugoni.

"Murume wenyu wamuri kutsvaga akarasika


here? Akanyangarika? Nyatsotsanangurai
tinzwisise. Tine zvakawanda zvekuita."

"Ndinotsvaga murume wangu anonzi Jackson


Sithole.........................."

Pakamboita runyararo sezvo Stacey


akakatyamara zvakanzwika nevanhu vose
vaiva muCharge Office umu. Akakatyamara
pamwe nekudonhedza mafaira aakanga
akabata mumaoko ake. Kuita kwaStacey uku
kwakasimudza fungidziro kumapurisa aiva
umu kuti paiva nenyaya pakati pangu naye.

Chiriporipotyo, Shirley akabva asvika.

"Newewo wavinga mukoma Jackson. Ramba


tinzwe,"VaMugoni vakadaro vachireva
Shirley. Vaimuziva sezvo aimbosvika
pakamba apa dzimwe nguva. Chinhu
chakavakatyamadza ndechekuti vakaona
Shirley ava nepamuviri. Kune vose vaiziva
Shirley, vakazviudza kuti nhumbu yaiva
yangu chete.
"Ehe. Ndakaona vasina kuuya kumba,"Shirley
akapindura zvake akapombonoka zvake sezvo
pasina zvaizivikanwa.

"Yohwe!vakadaro Mai Chrie.

Kune mamwe mapurisa kwakangonzwika


mahon'era aisanyatsonzwika zvaitaurwa.

Iniwo ndakabva ndapinda panguva iyi.


Maziso emaOfficers ese akabva aita
seaindibaya setsono pavakanditarisa. Shirley
akamhanya kwandaiva ndokundimbundira.
Aizivei kuti paiva nemukadzi wangu.
Muromo waMai Chrie wakanga wava
kudedera sekunge warohwa nechando
chemuna Chikumi, dziri hasha dzakanga
dzavabata. Ukuwo Stacey akanga angoita
semudhori wakapfekedzwa hembe muchitoro
chaEdgars. Akarwadziwa moyo sekunge
wakadimburwa tsinga dzinofamba ropa.
Simba rekuti afambe kubva paaiva akamira
apa akarishaya. Ndakanga ndaita anonzi
mashura padunhu chaiwo.

Pandakasvika apa ndakashaya zvekuita.


VaMugoni ndivo vakazoona kuti pakanga
patoipa ndokubva vati tibude muCharge
Office umu tiende kuhofisi kwavo tingori
vashanu chete. Nechimiro chakanga chava
naStacey,vakatoona kuti akanga arimowo
munyaya iyi .

"Right. Pano ndaona kuti pane nyaya.


Ndokusaka ndati tiuye kusina
ruzhinji.................... Imi mhamha. Taurai
nyaya yenyu tinzwe. Edzai kubata hana
dzenyu mese tione kwakananga. Ndinovimba
kuti imi madzimai mese hamusi kuziva zviri
kuitika kwamuri mese kunze kwaConstable
Jackson. Hapana manzvengero kana
mavhariro angaitwa nyaya iyi. Ndatoiona
zvangu nechekare,"Avo ndiVaMugoni
vaitaura mashoko aya.

"Ndauya kuno ndichitsvaga murume


wangu,"ndi Mai Chrie ava.
"Kuzovatsvaga kudai, havana kurara kumba
here usiku hwapfuura?"

"Patova nemwedzi minomwe vasina kuuya


kumba."

Shirley achinzwa izvi akauya ndokugara


pandaiva chaipo akakochekera ruoko muhuro
mangu. Ndakada kufunga zvekuubvisa
ndokubva zvandiremera. Ini ndangova umwe
munhu panguva iyi.

"Hezvo! Imi Sithole! Munoreva kuti kubvira


musi wamapunyuka kubva muhutapwa
hwematsotsi aye hamuna kumbobvira maenda
kumba kwenyu?"VaMugoni vakandibvunza
vakanditarisa mumaziso chaimo. Vakabva
vanyora-nyora mukabhuku kavakanga vanako
asi handina kuziva kuti zvii zvanyorwa
mukabhuku aka.Vakapotsera umwe
mubvunzo kwandiri.

"Saka waiva kupi panguva yese iyi?"


Ndakapindura ndakatarisa pasi,"Ndaiva
pamba pandinoroja, pandakarwisana
naBiggie nezuro manheru."

"Hmmm! Ko imi Constable Sibanda, chii


chiri kumboitika?"NdiStacey aibvunzwa uyu.

Ini ndakabva ndaona kuti zvimwe


zvaizotaurwa zvaizobuda mugwara kunyanya
paizobvunzwa Shirley. Ndakabva
ndavagamha nemashoko aya,"Pamusoroi,
boss. Regai ndibve ndantaura nyaya sezvairi.
Kana muchida zvenyu kuzobvunza
zvakawanda mozobvunza zvenyu.

"Eh. Taura tinzwe."vakadaro vaMugoni.

Ndakatarisa kumukadzi wangu,Mai Chrie


ndokuti," Mai mwana, ndokumbirawo
mundiregerere pane zvandichataura pano.
Kutadza hakuende pamuti asi kuti
ndekwevanhu. Ndinoziva hangu kuti zvimwe
zvichakurwadzai asi kuti zvamunoona ndiri
pano kudai, ndiri pakaoma. Mungasazviona
zvenyu nameso enyu asi ndizvo zviripo.
Zvamunoona ndakadai ndiri kuvhimiwa
nematsotsi. Kutaura kuno ndingadai ndakafa
kare. Ndaisakwanisa kuuya kumba nekuda
kwebasa asi handingati ndicho chikonzero
chekusauya kwangu kumusha.
Ndakakutadzirai pamwechete nevana. Vamuri
kuona ava ndiConstable Stacey Sibanda.
Ndakakatapwa navo nematsotsi patakaenda
kundoferefeta nyaya yematsotsi apfunya
chisero munzvimbo ino. Takasvikoiswa
muninga mataigara nekurara tega imomo.
Mukuita uku, takazotadza kuzvibata
ndokubva taita chivi. Ndine urombo
kukuudzai mashoko aya. Zvaiva zvakaoma.
Nhumbu yamuriona yaanayo iyo
ndeyangu..................."

"Jesus!............."vakadaro Mai Chrie ,


musodzi ndokuti mokoto mokoto. Uyuwo
Shirley akanga angoita seachapindwa
nenhunzi mumukanwa angoti tuzu.
Neremuromo akarishaiwa. Handina kuda
kumira kutsanangura nyaya yangu. Ndakabva
ndaenderera mberi nerusambo.

"Uyuwo musikana wandigere naye pano


anonzi Shirley Shallom Msole.
Ndakamununura kubva kumhondi dzakanga
dzauraya mai nehanzvadzi yake pa imba
yavairoja pandinogara paye. Mushure
maizvozvo haana kuda kuzogara ega kana
kuenda kuhama dzake. Ndakamboedza kuti
asiyane neni aende kuna sisi vamai vake
vanogara kuBoksburg asi akaramba.
Takazowirirana namaiguru vake ivavo kuti
ndigare hangu naye achipota
achivashanyirawo. Nhumbu
yaanayo---------------"

Ndisati ndapedza zvandaida kutaura


apa,ndakazonzwa mhere kuti kwetsu! Mhere
iyi yakazadza hofisi yese ichibva yaita
maungira kunze zvekuti vaiva kuCharge
Office vakainzwa. Mai Chrie ndivo
vakakwetsura mhere iyi. Stacey ndiye
aipfikura akabata muromo. Maziso zvakanga
zvava zvitubu zvaikwikwidzana kudzinira.

Shirley ndiye akanga angomisa tunzeve


sedzatsuro magen'a. Haana kuda
kundiregedza. Akanga aita chinamira pandiri
sekunge ndakanga ndakazodzwa
namo/urimbo.

"Iwe musikana! Murume uyu haana kukubata


chibharo here?"

"Haana kundibata chibharo. Ndini


ndakamuda. Ndiye akandiraramisa , nokudaro
ndichagara naye kusvikira murufu,"ndiShirley
uyu.

"Iwe! Murume uyu ane mukadzi wake.


Vakomana vakawanda munyika. Ungatadza
kutsvaga anokuroora here?"VaMugoni
vakadaro.

"Handizonzwe kuti ndakachengetedzeka.


Kudai vasiri ivo ndaidai ndakafa kare.
Vakandiraramisa"ndiShirley uyu.
"Anoraramisa munhu ndiMwari.
Vakatotumwawo naMwari kuzokuraramisa
ava."

"Hongu,asi vakuru vakati kutenda cherima


tenda wabva nacho. Mukangoti ndisiyane
namukoma Jackson ndinozviuraya. Kana
ndinavo ndinonzwa kuti
ndakachengetedzeka,"Shirley akapindura
achiratidza kuva nechokwadi nezvaaitaura.

Mashoko aShirley aya akashayisa VaMugoni


zvekutaura. Murume mukuru akanga
okwenya kamhanza ako kakanga
kachangobuda. Pakamboita kanguva kakati
kuti pasina kana amboti bufu. VaMugoni
vakazosimudzira zvakare mubvunzo kwatiri.
Vakatanga kubvunza Mai Chrie.

"Mbuyawasha. Ndofunga muri kuzvinzwira.


Munoti kudii nemamiriro akaita nyaya?
Mungakwanisa here kugarisana nemwana
uyu?"
Mai Chrie vakaomerwa nemubvunzo uyu
zvekuti vakangoramba vakanyarara.
Vakanzwa pahuro kuita sepaiva nedombo
raivapo.

"Hmmm! Ratova barika ka iri? Saka ndichaita


sei?"ndiMai Chrie vaidaro mupfungwa
dzavo.

"Zvatingaita pano ndezvekuti iyi yava nyaya


yekutaurirana pachenyu asi hatidi kunzwa
kuti marovana kana kukuvadzana. Chatingada
kuzonzwa ndechekuti mabuda nechisungo
chipi nemwana uyu. Hama dzake munofanira
kudziudza nyaya iyi iri mudariro.......... Right,
touya kwamuri , Detective Agent Stacey
Sibanda, tiudzeiwo zvamuri kufunga nenyaya
iyi?" "Hapana zvandingaita nezvazvo.
Zvinenge zvabuda ndizvozvo,"ndiStacey uyu.

*VaMugoni*:"Saka imi munobvuma kuti


pamuviri pamakatakura ndepaConstable
Sithole here?"
*Stacey*: "Hongu. Zvisina fungidziro."

"Saka mototaurirana murunyararo. Sekuona


kwangu, mese pamuri ipapa mutori vakadzi
vaConstable Sithole. Mai vakuru vangatadza
kuzvigamuchira asi ndizvo
zvatovapo............... Kana pari pamwana
mudiki uyo, matozvinzwira mega. Kana
akazviuraya nekuda kwenyu, mhosva
ndeyenyu muri vaviri, VaSithole nemukadzi
wenyu. Munofira mujeri kana mukasaiona
mushe nyaya iyi. Hongu, Constable Sibanda
maita semusina hanya nazvo asi ndiri kuona
kuti marwadzikana. Ndinokumbira kuti
musanwa mushonga wemakonzo, ndapota
hangu. Zvakare, kuzviuraya kwenyu
kuchapinza vaviri ava mujere nokuti ndivo
vanenge vakonzeresa. Saka endai
mundogadzirisa nyaya iyi murunyararo.
Tapedza nemi."

VaMugoni vachipedza kutaura mashoko aya


takabva tabuda muhofisi mavo. Takanga taita
sehuku dzaniwa pachokwadi.
Makambozviona here kuti kana mapinda
panyaya inonyadzisa kana kuti vanhu
vakutarisei, munobva maita sechibage chiri
mumunda wenzungu? Ndicho chimiro
chataiva nacho panguva iyi.

KunaVaNdlovu, mamiriro ezvinhu akanga


asvika pane chimwe chidanho. Vakanga
vo..............................

END OF CHAPTER 36.

You might also like