You are on page 1of 6

ZIMBABWE SCHOOL EXAMINATIONS COUNCIL

In collaboration with
UNIVERSITY OF CAMBRIDGE LOCAL
EXAMINATIONS SYNDICATE

General Certificate of Education Ordinary Level

SHONA 3159/1

PAPER 1

OCTOBER 1998 SESSION 2 hours


CHIKAMU 1 : RONDEDZERO

(Zvichakubatsira kuti upedze awa imwe chete pachikamu chino).

1. Sarudza musoro MUMWE CHETE kubva pane inotevera. Zvino chinyora


muchiShona chakanak rondedzero kana hurukuro kana tsamba ina mapeji
anokwana matatu chete.

(a) Kuwirirana kwamarudzi munyika.

(b) Nyora nyaya inopendzisira nemazwi anoti, “Uku ndiko kwakava kuparara
kwemhuri.”

(c) Manga chena inoparira parere nhema.

(d) Nyora hurukuro pakati pababa namai pamusoro pemwana wavo akapedza
rugwaro rwechina (Fomu 4). Mumwe anoti dai mwana uyu achienda
kunotora kosi umwe achiti ngaaende kurugwaro rwechishanu (Fomu 5).

(e) Nyora tsamba kumuriri wedunhu renyu muParamende uchimupa mazano


ezvaangaite kuti arambe aine tsigiro yavanhu. [50]

CHIKAMU II : ZVIRINGAMUTAURO

2. (a) Patsumo dzinotevera sarudza mbiri chete. Zvino chinyora tsumo inoreva
zvimwe chetezvo neimwe neimwe yadzo .

(i) Mweni haapedzi dura. [2]

(ii) Chako ndechawadya chasara mutoro wamambo. [2]

(iii) Chiri mumoyo chiri muninga. [2]

(b) Sarudza tsananguro nhatu chete kubva pane dzinotevera. Pane imwe
neimwe yadzo ipa tsumo inowirirana netsananguro yacho.

(i) Munhu wese kunyange angave mukuru sei akatombobva pakuva


rusvava rwakachengetwa naamai. [2]

(ii) Kana ukaona munhu achibatsira munhu waangadai anga asine naye
woziva kuti pane chimwe chaari kuda. [2]

(iii) Munhu mukuru anotyiwa zvikuru nevaasingagari navo asi


vanogara naye havanyanyi kumutya. [2]
(iv) Kuita zvinhu nechimbichimbi kunogona kuzokonzera kuti zvinhu
zvikanganisike. [2]

3. (a) Umba fananidzo dzinopindirana nemazwi akapiwa.

Somuenzaniso: Mazwi ---senyenganyenga / mherepere


Fananidzo: Kunzvenga senyenganyenga / mherepere

(i) ………… sechikwekwe / chishambwe / chidari. [1]

(ii) ………… sedahwa. [1]

(iii) ………… sokunze kwemusha. [1]

(b) Nyora patsva ndima inotevera uchizadzisa pakashama nenyaudzosingwi


dzinokodzeraa. Isa mutaro pasi penyaudzosingwi dzawashandisa.

Kufa kwaMaidei kwakandiomesa mate kuti _________. Akangouya


kwandiri achifemereka seakazarirwa. Ini ndokuti _________ kumutarisa.
Paakati achirondedzera ndakaona maziso kuti __________ kubuda, ndiye
_____ pasi, ndokwakava kutofa kwake. Ndakaiti mhere _________ nokuti
zvakanga zvandibaya moyo kuti _________. Pamusha pakazoswera
pachiti _________ kuzara nevanhu vaichema. [7]
CHIKAMU III: NZWISISO NEPFUPIKISO

4. Verenga detembo iri ugopindura mibvunzo inotevera.

Madziteteguru matiregerera
Hatichaziva pfumo rotidya
Pasi rwava rufuse,
Denga raramba kudonhedza misodzi yaro,
Mhuri yopera nechakapendzambudzi imi makaringa
Zvipfuyo zvapera kumokoteka nenyota,
Ingotipai donhwe roga madzitateguru.

Nyota yabaya, kudya kwashaika.


Nzara yawana pokutandarira,
Vanhu nhumbu dzava mapako avamupurwa,
Chepaura hapana achaziva,
Itirai mhuri yenyu chitetatsiye
Charehwa paruzhunji ibembera madzitateguru.

Madzitateguru matiregerera,
Taibata nhamo macheche enyu imi makatarisa,
Tagwabvura sembwa dzine gwembe,
Tainhonga nhamo tsvuku inenge mukura,
Ngaro navanhu zvava zvitaramuki.

Imhosvai yatakapara matateguru isingaripwe


Yokupai kubva matiramwa zvakadai?
Kana kuchinge kuri kuranga
Kuranga rudzii kusina magumo?
Nhai vari kumhepo!
Tofa zvedu nechamunoziva here?

Madzitateguru matiregrera,
Zvaita sei kubva matiramwa zvakadai?
Kana paine chamakatadzirwa revai muripwe,
Murege kuramba makatigadzika murufuse
Nokutivhomora ura tichinzwa.

Makatikanda jecha mumeso,


Zvinio toziverpi imi makatipa makotsi!
Zvaita sei kuita semusakasiya mbeu kunze?
Chapfakanyika chati ndipenengurwe,
Iri ratova dambudziko rinoshungurudza VaNyahuze
Setsikidzi yarara mudahunha.
Mukuwasha wekuDenga aramba kukanda tsambo yake pasi,
Nhamo yorumira mukati senyoka yemusheshe,
Chiverevere ndechokubaya mombe,
Chemakombo tinoudzana,
mapere kusaya nyama haadyane.

Nyika vanhu
Kunzi mambo makota,
Unodana „mbwa dzose haasarudze,
Nesuwo tinoti kwamuri madzitateguru,
Tisvitsirei zvichemo zvedu kune vemberi,
Vane mazita asina ani uchaziva.

Vakuru vakati kuchema kwerimwe ziso,


Rimwe rinoita zvinyairaduri
Nemiwo mose vamasango namatenhere,
Tinochema nemi masikarudzi,
Kana nemiwo muri pasi muchizvinzwawo,
Pashaye anozoti, „Handina kuudzwa‟
Newe Musiki Nyadenga Chikara
Tinewe mukutambudzika kwedu,
Vashe vavanhu.

Denhe Renduri Nenhorimbo na A. C. Hodza

(a) Ndedzipi nhamo mbiri dzakonzerwa nokusanaya kwemvura. [2]

(b) Mudetembi ari kupa zvichemo zvake kuna vanaani? [2]

(c) Ndaapi mazwi ari mudetembo anoreva zvinotevera.

(i) vana [1]


(ii) kufuratira [1]
(iii) muchivande [1]
(iv) misodzi [1]

(d) Tsanangura zvirevo zvinotevera sokushandiswa kwazvakaita mudetembo.

(i) tagwabvura sembwa dzine gwembe [2]

(ii) chapfakanyika chati ndipenengurwe [2]

(iii) chepaura hapana achaziva [2]

(iv) denga raramb kudonhedza misodzi [2]


(e) Sokuona kwemudetembi chii chingangodai chakonzera matambudziko?
[2]

(f) Mudetembi paaanoti nyika vanhu anenge achirevei? [2]

(g) Nyora pfupikiso yenhetembo iyi namazwi asingapfuure makumi mashanu.


[10]

You might also like