You are on page 1of 385

GWINIMBI

NHAMO YEUROVHA BASED IN LIFE


STORY AND MOTIVATIONAL

WRITTEN BY

SHIZZLE NOVEL'S

+263 775 227 112


CHAPTER 1

"Gwinimbi mwanangu hona ini Baba vako ndarwara


ini pfuma yangu yakavhurirwa meno nemuvengi
mwanangu,vavengi vangu vakandigura kunorira
chaiko asi chandinoda uzive ndechekuti mwana
washe muranda kumwe mwanangu,zvandaikuuudza
wakazvichengeta here mwanangu."?

" Mukuedza kutiiko Baba imi nekuti ndakutadza


kuziva zvamuri,kureva asi makaroiwa here
Baba,zvipiko zvamakandiraira ini handichatonderi
chibodzi Baba.?
"Gwinimbi ndakati kwauri mawoko ako ndiwo
uchava upfumi hwako zvandakashanda siya shiri
dzesango dzidye iwewe wotosevenzawo zvako."

"Nhai Baba ,nhaka zvee ndini ndinogara saNevanji


wenyu,munoda vamwe vekunze vadye here nhaka
yamakashanda."

VaChinoura vakatanga kukosora Gwinimbi akabva


amhanya mukitchen kundotora mvura yekunwa
akabva ati "Mhamha huyai muone zviri kuita Baba
mumba,umu vakukosora zvisingaite"

Amai ne mwana vakaenda mumba


vakadungamidzana ndokubva vasvika mumba
muya,zvavakaona Baba Va Chinoura
vainge,vakubuda furo vakaramba vakatarisa
Gwinimbi uyo aive avhura ziso akatarira "Gwi Gwi
nhamo yazouya kwauri woto,wotoshinga semunhu
wemurume uuuuu che--che-ngete- Amai Vako
papamwe na Gundani munun'na wako."

Baba vaGwinimbi vakabva vangofuka ravo rega


yakava mhere mhere,pamba apa munzvimbo ye
Mandara yavaigara iyi.

VaChinoura vaive murume ane makore 57 ekuzvarwa


vainge varoora Makanaka Chidzero uyo aive
mudzimai wavo vaviri ava vakaroorana mugore
ra1994 havo vakazvara Gwinimbi Chinoura uyowo
aive asvika makore makumi maviri
nemana,achiteverwa na Gundani ane makore Gumi
nesere anova hwitapi remukomana.

Shoko rerufu rakaziviswa kuhama dzavo


kusanganisira Babamunini Dickson Babamunini
Dickson vainge vakakoka Baba VaGwinimbi kumba
kwavo ndokubva vati "Mukoma makatiiko nemunda
uri kwaMutoko pamwe turakita ndirikuzvidawo
mukoma kwegore rino ndorimawo fodya ndikapedza
kukohwa fodya yangu imi motora munda wenyu
ndokupaiwo mbichana."

"Kwete munun'una ndikuda kurima mbatatisi dzangu


neturakita handione zvaukuronga zvichiita
munun'una wangu."

Dickson akaenda kundotora Mahewu ndokuisa


muchetura akaisa muimba yekubikira akauya
nemakapu akasiyana imwe akapa Baba vaGwinimbi
avo vakanwa vachifara nemupfanha wavo kubva
musi uyu pakaita mwedzi mushanu Baba vaGwinimbi
vakatanga kurwara zvakasimba uye vaive
vavakuzvimba dumbu,vakaedza zvechivanhu
mudzimai wacho asi zvakasvika pakushaya basa
pakazoridzirwa Dickson arimuimba yaaigara
kuMufakose imba Ya Amai vavo akadeira nhare.

"Baba munini mukoma wenyu...."

Amaiguru vaive vochema zvisingaite zvinova


zvakashamisa Dickson akabva anyatsokuteya nzeve
dzake zvake murume uyu.

"Mukoma wenyu ashaika uyu maihwee Jeisa atisiya


kani maihwee."

"Maihwe kani mukoma,vaenda kwamupfiga nebwe."

*Dickson*
Ndakadimbura nhare yangu pakafona Amaiguru
munda ndainge ndazouhwina manje maturakita ose
mashanu zvavazvangu,ha Amaiguru nekunaka kwavo
ndotoda kuvatora chete kutsvukira kwavo iii
kunondinakidza mhani ndakatanga kufara nekuda
kwekufa kwaMukoma,iii ndaidzawo kushanda
mabasa ndakazama kutsvaka asi masango aingove
matema badzi asi zvazoshaika mukoma
wangu,hupenyu hwangu hwavakuita shanduko vana
Gwinimbi ndichavaita kuti vakanyaire semombe
havasati vandiziva zvavo ndonzi Dickson.

Ndakaudza Charmaine mudzimai wangu,Kuti


"Mukoma washaika."

"Maihwe kani munhu aive aita tunhu twake."


"Shuwa Adzimai rufu haruna kana nenyadzi mukadzi
wangu Mukoma Jeisa vasiya Sadza kungozvimba
dumbu badzi vakutoshaya kudai iii adzimai handei
kunhamo apo mumota macho hamuna nemuto
hurombo hwedu hwakaoma."

Vaviri vakatungamidzana kuenda kundogeza muviri


pavakapedza kugeza vakatuma Jakobho kundotenga
peturu kuFiring Station akasvika kuine mutsara
wevamwe vakuda kudirisa mota asi iye akaita
zvekubhadara anomutengesera ndokubva atenga
kachigubhu Jakobho akamhanya kumba achiita
kufemuruka ndokubva atambidza Change pamwe
nepeturu Baba vake vakazodira peturu vakarongedza
magumbezi ndokubva vaenda kuMandara kwaigara
mukoma wavo vakasvika panhamo pauya vanhu
vashoma vakabva vakumbira Amaiguru Key
yemubhedhuru Amaiguru vakada kuramba asi
Dickson ziso rake rakabva raita kuti vavatambidze
makeys ipapo Dickson akabva apinda mubhedhuru
ndokubva awona wiri yainge irimuBriefcase
yamukoma. Yaiti.
*My Will*

*Zvinhu zvandakashanda zvinofanirwa kugovewa


kuvanhu ava Imba ichaenda na Gwinimbi,uyezve
Motokari Benz C Class ichatorwa na
Gundani,uyewozve Purazi nematurakita mashanu
ngazvipihwe mudzimai wangu ndiye anofanirwa
kuzvitora zvinhu izvi,koti Chigayo chiri PaMutoko
Center mochipawo Babamunini Dickson vazoona
kushanda kwacho pamakombi mashanu akanzi Glory
to Glory imwe yacho highroof mopawo Babamunini
Dickson, Mukoma Gatsmine movapawo imwe Ford
ranger."*

Wiri iyi yakandibhowa imba ndoyandiri kuda mukoma


imbabhi manje ndakaisa Wiri muhomwe dzebhachi
rangu ndakabvanganyura ndikawana rino zibhanduru
remari ndakabva ndariisa mubhachi,ndakanzwa
kufara mumoyo wangu ndokubva ndatanga kufamba
zvangu ndakaenda kuGweta remhuri ndokubva
ndaripa Basa rekugadzirisa nyaya yeWiri zvinhu
zvaiva apa zvogovewa ini naMukoma Gatsmine
badzi,Vamwe vese vachaona ndiro
ndakachengetedza Wiri chaiyo mubhachi panhamo
ndini ndakabva ndatanga hangu kutungamirira zvese
pakanetsa mudzimai wamukoma akati aida kuti
"Patengwe Cascade" yeparufu urwu ndikati.

"To Hell Cascade kutambisa mari uku, ngaavigwe


nebonde romunyiwa nemuchenje vana vangu
vakudya minjonjo imi muchidya tunonaka kubva
nhasi nherera neChirikadzi dzichaguta musi wafa
murume wadzo izvezvi lawyer ririmunzira."

"Iwe Dickson indava uine mukanwa makaora


mashoko anotaurwa here awa kuvanhu vafirwa
indava usina moyo nhai Dickson ndizvo zvinokuitai
mutadze kushanda navadzimai vako izvozvo
muchiswera makagara muchiba mari yerent yemba
yangu yandakasiirwa nemurume wangu."

Munguva iyi Dickson akabva angoti bwai bwai


kutarisa pasi sezvo Amai vacho vainge vavanyadzisa
Chambere iyi yainge yazvara vanakomana vatatu
Jeisa Gatsmine,Dickson uyuwo Dickson aive asvitsa
makore 42 okuzvarwa arichipota nemadziro basa
ravo kutsara mari dzemaroja kuimba yaAmai vavo
kuMufakose uku,Dickson akabva angosuduruka
pairongwa apa.

Dickson akaenda kwake ega ndokubva aenda


pakahwanda ndokubva atanga kuverenga mari
ndokubva ati "Haa ndazodya dzema......... "
*Gwinimbi*

Ndakarwadziwa nekushaika kwaBaba vangu


ndakaona furo pamuromo waBaba vangu,ndikatoona
kuti ndatove nherera shuwa mashoko ataurwa
naBaba ekuti "mwanawashe muranda kumwe" koini
ndogoita sei muranda kwaMutoko Purazi ririko wani
koti motokari nemba ndezvedu zvese papi pacho
panouya nhamo kwandiri,ndinoda kuwona wacho
muvengi waBaba wacho ndakatanga kuchema
weduwe kuvanherera here nhai.

Ndakazoona Babamunini Dickson vachitaura zvekuti


makeys ziBabamunini iri kubva ndiri mudoko
ndaisarifarira ririkunyanyovavarireiko panhamo
ndakaritevera kwaraifamba ndakaona richiverenga
mari guchu remari ndakabva ndati "Babamunini
maba mari yaBaba moverengera kuseri kwemba
manje."

Baba munini vakadzorera mari mubhachi chinyararire.


Babamunini Dickson vakasimuka nehasha ndokubva
vasvikodzipa mwana wavo huro ndokubva vati
"Ndotadza kudya simba remukoma wangu,iwe uri
chikwekwe chaivapedza Simba."

Vakazotondiregera pauya Gogo vakati "Iwe Dickson


haunyare."

Ndakabata huro yangu ndikaenda kuvarume vaidziya


moto ndakatanga kuchema ndiripavarume vaya
neshungu zhinjisa saka Babamunini ndivo muvengi
ainzi naBaba ndakachekwa nerakagomara saka Baba
vakatouraiwa naBabamuni Dickson here iyi mibvunzo
yakatenderedza musoro wangu weduwe Babamunini
Dickson vakazouya nekaCoffin kakashorwa
nevanahu vese Amai vakabva vati "Mari yemurume
wangu iri..."
CHAPTER 2

Ndakabata huro yangu ndikaenda kuvarume vaidziya


moto ndakatanga kuchema ndiripavarume vaya
neshungu zhinjisa saka Babamunini ndivo muvengi
ainzi naBaba ndakachekwa nerakagomara saka Baba
vakatouraiwa naBabamuni Dickson here iyi mibvunzo
yakatenderedza musoro wangu weduwe Babamunini
Dickson vakazouya nekaCoffin kakashorwa nevanhu
vese Amai vakabva vati "Mari yemurume wangu
irikupi iwe Dickson iwee haunyare here Zimbavha
remunhu iwe ..."

"Mari ndeyamukoma vangu iyi vakasevenzera isu


kwete iwe zimutorwa iwewe chero dai wandinyima
makey's ndaingoita zvechisimba ungandiitei zvako
iwe Makanaka ndini ndava kutoita zvese zvekuti
mukoma vavigwa Coffin randasarudza ndiro
richavigwa mukoma.''

Amai vaJeisa vakabva vangobata mudonzwo kuti


vaedze kurova rugotwe rwavo rwainge rwarasika
hunhu urwu papemberi peruzhinji Dickson akabvuta
mudonzvo waAmai vake ndokubva
aupwanyirapamadziro ukatyoka nepakati
muchembere akatanga kutukirira zvitutsi zvisingaite
uyuwo Mukadzi wa Jeisa akabva angobva hake
paruzhinji mudzimai akamhanya ndokuenda
mubhedhuru.

Akatora maCards ekubank matsamba eimba pamwe


ne makeys e motokari ndokubva ada kubuda
pamusuwo ndipo paakaregedzerwa mbama
yakamuonesa nyeredzi masikati machena.
" What the hell you think you are doing Makanaka
you are going to surrender all title deeds to me
wanzwa macards ekubank pamwe neimba iwewe
wodzokera nembwa dzako mbiri Gundani naGwinimbi,
mondogara muchitondo makapusa mhani uchabva
pano netsoka.

Ziso ra Dickson rainge ratsvuka kuti piro viri uye


hasha dzake kana arimunhu apa aigona kungomudya
mukoma wake Gatsmine akabva atoenda nemhuri
yake pamwe naAmai vainge vatyorerwa tsvimbo
naye Dickson panhamo apa vese vechikama vakabva
vangobva.

"Babamunini torai henyu pfuma yamukoma venyu


muri nhunzi inouya kuzoitira tsvina paisina
kushandira asi nerimwe zuva muchachemawo torai
macards ekubank mudye zvamusina
kushandira,ndizvo zvamaka...."
Dickson akarova Makanaka mbama yekuseri
kweruoko ndokubva anhonga macards ekubank aya
ndokubva ati "Pin yeapa inonzii."

Aitaura akadzipa Amaiguru vake Makanaka akabva


ava pfirira mate Dickson akabva adhonza minyatso
ya Amaiguru vake ndokubva ati " I m going to suck
this nipples of your's Makanaka haa Mukoma
vakandiisira zvinhu izvi zvive zvangu."

"Saka hausikuda kundiudza Pin here yemaCards


ekubank here iwewe zipfambi iwewe.?"

"Dickson so you are behind this nhai zvekufa


kwemurume wangu kana wanga uchiti Pin
ndichakupa wakapusa ukaramba uchindibata
mazamu angu ndikundokumhan'arira
kumapurisa,imba inoyi nezvimwe hauzvitore
ukuzvinyepera."

"Amaiguru mukuda kundiita mwana mudoko haa


mirai muone."

Dickson akatora mapepa maTitle deeds ndokubva


atobuda Amaiguru vakabva vasara vachichema
zvese izvo akandopa Gweta kuti zviverengwe
muzuva rakatevera Chitunha chakatakurwa
neveNyaradzo ndokubva Motokari dzaita
kudungamidzana kunowonana nemushakabvu
kekugumisira chaiko.
Mushakabvu akandovigirwa kuChishawasha
pavakapedza kuviga vechikama vese vaive vogara
mu meeting kuti Gweta riuye riverenge Will yemufi
Gweta rakazouya ndokuvhura bag.

"First of all l want to read this Will of The Late Jeisa


Chinoura"

*" This house of mine should be given to Dickson


Chinoura,including 5Cars,Plot in Mutoko should be
given to Gatsmine Chinoura,including 5tractors,then
Chigayo chichatorwa naGundani."*

"No"

Akadero Gwinimbi nehasha achibva paaive agere


paitwa musangano nevechikama Amai vake
vaingochema misodzi.
"Baba vangu havana kushandira,iwewe Dickson
mungape nyope yaka."

Mudare umu makaita bvonga bvonga, mupopoto.


Agarwa matunduru na Babamunini.

"Gwinimbi wasiirwa shangu newatch ndozvako iwee


Gundani ndiye akutora zvese."

Musangano wakapera Gwinimbi naAmai vake vabuda


vakabva vaenda kuHanzadzi yavo Clemence anogara
muZengeza 2.

Gwinimbi na Amai vake vakasvika paimba ya Sekuru


vavo vanogara Muna Mbaura muZengeza 2 vakasvika
kugugudza ghedhi,rechivanze zvinesimba zvinova
zvakaita vaChidzero vabude Mumba mavaitandarira
neshamwari dzavo vachiona mutambo wenhabvu.
VaChidzero vakabuda vachiitakupesanisa,makumbo
avo kunge munhu anenhonho,pavakazoisa meso
kugedhe vakashamisika vachiona hanzwadzi yavo
Makanaka aine majaya ake maviri ndokubva vati
"Sisi kwakanaka kwamauya nemazibag
takazongobva panhamo nekuda,kwehunhu hwaTsano
Dickson".

Makanaka akabva abongomora mhere achiwira


mumaoko abhudhi vake ndokubva ati "Dickson atora
zvese pfuma yatorwa nemuvengi bhudhi zvinhu
zvandakashanda naJeisa kwemakore mazhinji
pamwe tichivata nenzara nhasi zvotorwa nemagora
esango bhudhi,ndinoshaiwa chandakavatadzira
Babamunini Dickson taivachengeta wani shuwa
muvengi wemunhu munhu."
"Sisi Mirai kuchema Kani tione tatsvaka Gweta
nenguva apa tiwane kunyudza Dickson anoda
kuonekwa nekungwara kwenhando kudai nezera
rake akatadza kutengesawo musika zvawo
basa,kunzwira ginger zvakashandwa namukoma."

VaChidzero vakabva vaudza madzisahwira avo kuti


abude sezvo vainge vavingwa nevaenzi munguva idzi
dzavaiisa mabheghi Mumba mudzimai wava Chidzero
akapinda achibva kuChina kukereke ye Salvation
Army.

Asati abvisa hembe dzekukereke akaringa mudining


ndokubva aona Gwinimbi pamwe naGundani naTete
Makanaka.

Beauty akaridza zikutsamwa ndokubva ati "izvezvi


Clemence wakutochengeta chi Hanzwadzi chako chi
Chirikadzi pano haa izvozvo hazvishande pano hazvo
Makanaka zvinhu pazvaikufaira kana zuva rimwe
rawakaisa gumbo pano kana kutumirawo eco cash
zvayo nhasi watorerwa pfuma naDickson wakuona
kuti kuna Clemence naBeauty manje."?

Mashoko awa akaita VaChidzero vanzwe hasha


zhinjisa zenze vakabva vamisa vakasimudza chituru
chavainge vakagarira ndokubva vati.

"Iwe Beauty hausi Baba vepano handingasiye


Hanzwadzi ichitambura pamwe Nevazukuru Ava"

Chituru chakanzwengwa ndokusvikorova gumbo


raGwinimbi akaridza Mhere kunge mhembwe yaiswa
museve pahudyu.

"Amaikani ndakuvara Kani Amai Kani ."

Uyu aive Gwinimbi aive oyuwira negumbo rainge


rarohwa nechituru chainge chapotserwa naSekuru
vake.
Makanaka akanzwa moyo wekubereka akaenda
kundobata gumbo Riya raive royerera ropa,Sekuru
vakabva vambanya mubhedhuru vakanotora
mabandages ndokubva vasunga pagumbo remuzaya
wavo "Sorry muzaya ndaida kutema Ambuya vako
ava vanoita sevakabarwa nerovambira vanoruma
chavasingadye ivava ndiregererewo muzaya."

Beauty akabuda mudining muromo urimumhuno


mukadzi uyu aive ava namakore 25 aroorana na
Clemence vakakomborerwa nevana vasikana
vashanu,kubva zvakaroorwa Beauty na Clemence
Beauty haana kumbobvira afarira Tete Makanaka
ukama hwavo hwakava hwekitsi negonzo chaiwo
pavaviri ava,Beauty mukadzi uno mushava akanwa
mukaka akaguta aine chipfuva chine mazamo
makuru kwazvo uye aine tuno tukomba pamatama
tunoburitsa runako rwetsvarakadenga.

Paimba yavaChidzero hapana akataura neumwe


Mauro awa Beauty akabva angonanga mubhedhuru
make Makanaka ndiye akazogadzika poto yesadza
hake ndokutanga kubika hake vakabva vatanga
kukurukura navahandzwadzi nyaya iya yekupambwa
kwehupfumi hwake naDickson.

"Bhudhi kondikamhan'arira Babamunini Dickson


hazvishande here nekuti pfuma yese yatakashanda
nemurume wangu inofanirwa kusarira Vana Gundani
naGwinimbi avaBhudhi honai, Gwinimbi mamutema
nechituru hamuna kuita shungu dzekuda
kumuendesa kuchipatara nekuti mwana waTsano."

"Vahanzvadzi zvaitikandisingade asi ndikadzoka


kubva kubasa ndinoenda naye kuchipatara uku zvee
Sis Sorry Beauty hunhu hwake hunoita kunge
hwebinyakadzi ndiwo wandaida
kugadzirisa,mukamhan'arira TsanoDickson nemari
yaakatora iya anoipa vemutemo sechioko muhomwe
hatione zviine chayedza izvi tikaramba toita nharo
naye tingaurawa hatizive zvaari kutemba ivo Tsano
Dickson.''
"Saka bhudhi pfuma yoenda nemagora manje apa
ndaramba".

''Sisi hope dzandirova ini totaura pandobva kubasa''

VaChidzero vakaendesa ndiro yeSadza yavainge


vapedza kudya nenyama yehuku yange yakangiwa
navahanzwadzi yavo,musink.

Vakaenda mubhedhuru ndokuwona Beauty akavata


asi ange akapfeka VaChidzero vakatanga kukumbira
bonde kumudzimai wavo akazoguma oti "Makanaka
ndiye ave Mai vepano nhai enda unopuhwa bonde
naye,wotangira pakasiiwa naJeisa zvee ini ndisiye
ndizvirarire zvangu Clemence,wanga uchitonanzvira
zvaakubikira nhai."
Vaviri ava vakapirana makotsi musi uyu Clemence
akafumo bata jongwe muromo kuinda kunokwira
mabhazi eZupco kuti aende kubasa sezvo pamutsara
wacho pachida dzakasimba badzi dzisina hadzisundi
pakuita pressure kupindamubhazi iri rainge rauya
pachiteshi imwewo mbavha vakabva hapenyerwa
nechikwama chaClemence.

Kumbawo Beauty akasara achimuka rungwanani


ngwanani sezvo murume aenda kubasa akaenda
kunochera mvura vainge yarara panze mudish sezvo
musha we Chitungwiza uchinetsa mvura.

Beauty akaenda kwainge kurere Makanaka akavhura


mukova akanzwa Makanaka achipfodora ngonono
zvake akasimudza bhaketi ndiye kupu kumagumbeze
aMaka uyo akapepuka kubva kuhope chiriporipotyo.
"Tete pano panoti ini Beauty rugare rwunenge
rweinda pano hapana,makazvisiya kuMandara Jeisa
arimupenyu nezuro,makauya pano zveginya Saka ini
ndoitawo zveginya mukai mutsvaire chivanze
Gwinimbi naGundani ndoda kuvapa mabasa vaite
zvenyu zvekurera Vana mutray sechingwa kuno
hakusi kuMandara kuno vakafurirana naDickson
kuuraya Jeisa aizvishandira tokuzivai anaMakanaka
ukutofunga kugarwa nhaka na Babamunini nxaa".

Beauty aitaura achisvipiraMakanaka mate Maka aive


ojururuka mvura sezvo musi uyu kwainge kuine
chando Maka akadedera serutsanga rwuri mumvura
Amaiguru Ava vainge vamukandisa,mapfumo pasi
makuseni awa.

Akabva ati "Zvawaita izvi wa."

*Babamunini Dickson*
Mariya yamukoma Jeisa yakaita ndiite manyawi
kubhawa reku Jameson ndakatengera bhawa
resehwahwa ndikati "Uku ndiko kudya zvevapfupi
nekureba Mukoma Jeisa vaifunga kuti handinonorima
munda wavakandinyima here izvezvi
ndakundourimira svoto chaiyo kana vanenharo
ngavamuke chipoko,Makanaka ndikuda kumutora
ndoendesa Amai Jakobho kuZaka rinopisa
kwandakavatora,ndimboitisana nemukadzi
wamukoma akadai kunaka kunge kaMhandara yekwa
Chidzambwa inonzi Portia."

Izvi ndaizvifunga ndichidzikisira hutsvuku hwahwa


hangu pakabva pasvika kamwe kaSlender mubhawa
iri kakauya pandiri ndokubva Kati "Nhai bhudhi ku...."
CHAPTER

"Nhai Bhudhi kuzongozvigarira mukona,kwakanaka


here uku,by the way ndonzi Claudia koimi bhudhi"

Inzwi ra Claudia rwaiita kunakidza kuteerera


munzeve dzangu chaimo ndakabva ndangodaira
ndakamutarisa munaziso chaimo.

"Ndinonzi Dickson Chinoura."

"Wow what a nice name Dickson do you mind if you


buy me,one cider."

Paakadaro ndakabva ndatora hundred dollars


ndikamutambidza.
"Keep the Change Claudia."

Mwana akauya tichimwa tichikurukura hedu


takazoenda kukamuri tiite mutambo wevakuru
ndakabhadhara Mari yekamuri ndainge
ndakagrabhana naye mukubata uku tuchienda
mukamuri ndakanzwa ruoko serwainge rwapinda
mubhachi rangu ndakazongoti zvimwe manzwira
nzwira andava kuita pamwe.

pandakangobvisa Trouse rangu Claudia akabva ati


"Ndikuda kumboenda kuLoo ndikuuya".

Ndakamirira ndigomirira ndakatora trouse


ndikapfeka ndakazotarisa mubhachi wanei 300
hundred ikuti wakandiisepi ndakabata zvekare
ndikaona kuti Claudia kusadzoka ndiye andiraurira
Mari Saka magevha dzitori mbavha nhai ndakabuda
muhotera muJameson ndichienda panze ndichida
kunopinda muC Class ndichitarisa kudai mavhiri ose
haana mweya arimana ndakapererwa nazvo
ndakatanga kuti dhuu kufunga ndonyatsokudiiko
netsekwende iyi ndikafonera Adzimai
vangatozofungira chihure,chete apa ndikaenda
kumba makuseni motikari inoiswa njema neCity of
Harare

Ndakafamba netsoka sezvo mari yese yainge yabiwa


ndakasvika kuMandara manheru iwaya ndikapinda
mumba ndikawona mudzimai akavata ndichingopinda
kudai akabva ati.

''Ukubvepi Dickson neZip yakavhurika ukubvepi


Perfume yaukunhuwira ndeyani huh Tell me
warara,nani ndidzo nguva dzinobviwa kubhawa here
ini ndapinduka runa kudai murume wangu.?

Ndainge ndongoti bwai bwai kupindura maziso angu


anenge nyimo dzaramba kuibva mudzimai wangu
akabva andidhikonya muromo.
"Haupindure here Dickson lipstick iripamuromo
ndiyani wawanga uchitsvoda mauro akadai ."

Ndakabva ndamuvhara muromo ndikati.

"Pfambi ndidzo dzanga dzichinditsvoda tsvoda


ndichizvimwira hwahwa wangu imhosva here iyoyo
Mari yangu yabiwa mota haina mweya mavhiri ese
abaiwa izvezvi ndafamba netsoka kubva
kuJameson,hauna tsitsi neni here Charmaine
unobhowa mhani."

Ndakatanga kukikwa mabhutsu namadam kurohwa


nemugoti chaiko ndakazotonunurwa naJakobho.

Imba yaMukoma Jeisa ndiyo yatava kugara


navadzimai pachikoro paidzidzwa naGundani ndipo
pave kufundiwa naJakobho Shiri yakabvuta rekeni
ndinofarira kuona Gwinimbi achitambura chaiko
vaifunga vacharamba vaine hupenyu hunotapira ini
ndiri chipota nemadziro kwete baa.

*Claudia*

Pandakapinda mubhawa muJameson ndakabva


ndangotapirirwa neumwewo murume,ainge
akazvigarira ogani achizvinwira hwahwa wake zvake.

Ndakasvika paari sendinoda kuita hushamwari naye


asi ini zveushamwari nemastrangers handidi hangu
asi nemhando yehwahwa hwaainwa zvakandipa
vimbo yekuti Mari yekuAmereka iripo chete
pamurume uyu takatanga kutaura nyaya dzakasiyana
siyana kusvika ati regei tiende kukamuri tondoita
mutambo wevakaroorana tichienda kukamuri
ndakaisa ruoko mubhachi ndikanzwa,zvamune mari
ndakabva ndangoiba mari yacho sezvo murume uyu
paakapinda paHotera,ndakaona motikari yake
yebenz C Class yaainge auya nayo hake.

Ndichingopinda mukamuri ndakanzwa wet ndokubva


ndati ndichadzoka asi ndipo pandakafonera vana
Martin naSauro vabaye matai emotokari yaDickson
ose apa ndipo pandakaona kuti munyika tinemadofo
vana Baba vanopedzera mari kwatiri isu pfambi dai
madzimai ekudzimba aimboendawo kuZvinamwari
varume vavo havaimbotorwa nesu pfambi dzemuguta
ana Claudia,uye murume uyu paanodzoka mari yake
ndomudzorera ndoda tifanane timwe tese mapiritsi
emukondombera anonaka awa anosimbisa kana
akubvuma mukatondiona mungati ndinonwa here l
don't care as long mari ndichitora.
*Makanaka /Beauty*

Beauty aitaura achisvipira Makanaka mate Maka


aive ojururuka mvura sezvo musi uyu kwainge kuine
chando Maka akadedera serutsanga rwuri mumvura
Amaiguru ava vainge vamukandisa,mapfumo pasi
makuseni awa.

Maka akabva ati "Zvawaita izvi wazviitirawo Beauty


hutsinye hwako Mwari wekudenga varikuona havo.''

Masoko awa akabhowa Beauty kusvika pakadzika


dzika kwemoyo wake.

"Iwewe ndiwe Satani mukuru wakafurirana


naDickson kuuraya Jeisa,nhasi ndokudira mvura
inotonhotonhora woti hutsinye izvezvi mvura yese
yandakudira pukuta, vana Gwinimbi naGundani
ngavamuke ndivape basa rekuzora cobra vana
wanga usina kuvadzidzisa kushanda kuno they will
work.''
Beauty akatanga kufamba achienda kumashops
kundote nga loaf ribodzi nemazai mashanu
nemukaka we Steri akadzoka Makanaka achigadzira
mumba Gwinimbi naGundani vachizora Cobra asi
Gwinimbi airwadziwa negumbo rainge rafuma rakaita
kuzvimba akabva aenda kuna Ambuya vake Beauty
ndokuti "Ambuya honai zvaita gumbo raazvimba
kutsika chaiko handichakwanisa baa."

"Iwe ita basa sebasa ukana kuteerera gumbo


unondovata mumabridge nedzimwe nherera ukunzwa
ipapa mazai andiri kubika ukumada saka dzikama
hako.''

"Ambuya ndandakumbirawo."
Beauty akabva asveerera mugoti ndokurova
Gwinimbi pagumbo raaka kuvara iroro.

"Usandiudza nyambo mwana waJeisa ita basa


sebasa iwe Gundani apa wapanyima cobra zora
nemazvo unopinda pamutsanyo ukunzwa Makanaka
magumbezi hauna kunyatsoatsika tsika iwe."

Beauty akaenda kundozvipakurira mazai ose


nesvutugadzike inemukaka wakakora kora
akazviisira loaf rese ndokubva atanga kudya muroora
nevana vake vakatarisa akarova zvidimbu zvinosvika
12 zvechingwa cheBakers Inn paaakapedza akatora
ndiro ndokubva avapa chingwa chimwe mundiro,
ndokubva ati "monwira mvura kana mapedza kudya
mukuonawo kuoma kwezvinhu munyika kuno hakusi
kuMandara kwamaidya kunge vanhu vanemari Jeisa
mari yake aenda nayo."

Gwinimbi ainge avata gumbo richimurwadza


aingogomera ari pasi ndiyo nguva yakauya Sekuru
vake kubva kubasa vakabva vakumbira sahwira
wavo January atakure Gwinimbi vaende naye
kuChipatara pavakangobuda badzi Beauty akaenda
muhembe dzana Maka dzakanaka atora achiisa
madhende ake imomo Beauty akasvika pakuti.

"Handingakundwe naMakanaka Chirikadzi ini ndiine


murume anomukira zvake zvekupfeka hembe
dzemhando zvakaenda naJeisa murume wake ini
bodo handidi izvozvo pamba pangu rwendo rwuno
Mwari azondipawo nhapwa dzichandiitira basa
ndakagara.

*Gwinimbi*

Imwe nhamo haibve pane imwe chokwadi shuwa


Babamunini Dickson kupamba hupfumi hwaBaba
vangu ini,asi haanzwewo tsitsi torarama neiko isu
vana vatyo pfuma yakashandwa naBaba ndeyedu
shuwa nezera ravo vonzwira pfuma yaBaba ginger
rakadero hazvibude ndikuda kuendako kuMandara
hatingabatwi sevaranda naMbuya Beauty pano
kwete zvekudaro hazvidi kudaro baa.

Zuva rese rakadoka ini na Gundani tichigadzira


mumba musi uyu ndakatemwa naSekuru
nechituru,gumbo rikakuvara asi Sekuru ndaiona
zviito zvavo kuti vanotya mudzimai wavo Beauty.

Makuseni Amai vakadirwa mvura inotonhora


ndakarwadziwa nehunhu hwaAmbuya vakazobuda
vakaenda kunotenga mazai nechingwa,ndokubva
vadzoka vakaita kisimusi isu tichingonazvira hwema
hwemazai pavakaapedza kubika vakazoti Gwinimbi
hauna kuzora apa nemazvo ndikati "Ambuya gumbo
rangu ririkuzvimba ndinode kumbomira"
Ndakarohwa nemugoti ndokubva ndayuwira iii
Ambuya hutsinye hwavo ndewe muroyi chaiye
takapiwa slice imwe yechingwa ndikati.

"Ko hatidyewo nemazai andahwa kunhuwira


here,Slice ribodzi haribati hura Ambuya."

"Ako mazai achona here,ukuti Slice haribate dumbu


richabata mvura izere papombi munondonwa kana
mada kuguta kuguva kwaJeisa kuChishawasha
munokuziva wani."

Misodzi yakaerera nekuda kwemashoko awa


ndakachema Gundani akauya akandibata bendekete
ndokubva ati.

"Mukoma Mwari vatopinza machena manje ngatiitei


zvese zvinoda Ambuya Beauty tikada kukondana
mabasa navo honai chedu hatina Mukoma tangove
madzvinyu asina asina gushe imba yakatorwa
nevakareba ngatifungei todii tava varume vakuru
tarirai mukoma muri rovha remakoko.''

Vana vanyamunhu vakambundirana ndokutanga


kuchema vakambundirana kudero nguva yakazouya
Sekuru Clemence vakabva vaudzwa nezvekuzvimba
kwegumbo raGwinimbi vakabva vaenda naye ku
Chipatara.

Asi Beauty haana kuenda kuChipatara kundowona


kuti Gwinimbi avesei Clemence achipinda
mubhedhuru ave madeko.

Akabva anzi.
"Wadya chikafu chaMakanaka saka ndiye ave
mukadzi wako angu makumbo handisi kukuvhurira
kusvika warega kubatsira tuhama twako,Amai vangu
vakuda matenesi Tommy izvezvi,negumbeze
rekufuka zvikanetsa ndichatora rakafukwa
naMakanaka ndonopa Amai vangu panekuti
uche .................

*Gwinimbi crying*

Asi dai Baba vakamukawo vakaudza Babamunini


Dickson na Gathsmine kuti vadzose pfuma yedu
havanzwewo tsitsi here? Vana Babamunini ava,zvoti
kuno kwaAmbuya hazvina mutsauko vanodya chikafu
takatarira isu nherera chero hangu ndayaruka
ndakazamawo kutsvaka basa mudhorobha asi
hapana kana nechakabuda be kana nekamba yakati
Gwinimbi huya kuAttachment zvakwo , miteuro
ndakazama yakasiyana siyana asi zvakakona izvi
ndotoshaiwa kuti ndichaikunda sei nhamo yeurovha
iyi nhai,musikana chaiye handina ini vezera rangu
vose vavekuwana ndinoshaya kuti nhamo yangu
ndoikunda neiko ndaidemba ndiri muchipatara
mandainge ndapuhwa mubhedha,zvangu,misodzi
ichiyerera pamatama angu, ndakatanga kutondera
hupenyu hwatairarama Baba varipo newandava
kurarama hwava nemusiyano ,chaiwo uhwu
ndehwekuti nherera zvichengete wega zvakarehwa
Navakuru Ambuya kana kumbouya zvavo ,kuzondiona
ndakatanga kuona kuti chimbuya ichi
chinoshandiswa naSatani.

Amai vakazama mbozha nhare yaBabamunini,


Dickson ndokubva vataura navo zvandainzwa.

"Maswerasei Babamunini.?"

"Hesikani Mukadzi mukuru ,kwakanaka kuzofonera


murume mudiki here.?"

"Hakuna Gwinimbi akakuvara ,gumbo nezuro arikuno


kuChitungwiza Hospital."
"Iwe Gwinimbi handina basa naye mhani dai, gumbo
iroro rakazvimba rikadimburwa akafamba
nemaCrunch mhani."

Mhamha vakadimbura nhare ndokubva vatanga


kuchema vakati...............

CHAPTER 4

"Wadya chikafu chaMakanaka saka ndiye ave


mukadzi wako angu makumbo handisi kukuvhurira
kusvika warega kubatsira tuhama twako,Amai vangu
vakuda matenesi Tommy izvezvi,negumbeze
rekufuka zvikanetsa ndichatora rakafukwa
naMakanaka ndonopa Amai vangu panekuti
uchengete zimukadzi zikuru ko Maka akamitiswa
tinonyarirepi nhaiwe Clemence."
Clemence haana kudaira mukadzi wake asi aive
akaita kugumbuka hake nemashoko aitaurwa
nemudiwa wake aisembura kudai.

"Ukutonyarara hako saka wakaguta."

Vaviri ava havana kutaura rungwananingwanani


VaChidzero vakafuma kuenda kuChipatara
kundowona muzukuru wavo Gwinimbi
vakamutengera maranjisi pamwe neimwe michero
vakasvikomupa gumbo rairatidza kuti rati sererei
zvishoma Sekuru ava vakaramba vakatarisa
muzukuru wavo avete ndokubva vati.

"Gwinimbi muzukuru undiregererewo ndakakutema


ndisingade ndinoshuva ukasike kupora mwana
waSisi vangu ndiwe mukomana wandovimba naye ini
handina kuita mukomana mwana muhupenyu
hwangu, muzukuru Ambuya vako ndozvavari vaya."
Vaviri vakatanga kuchema kusvika kwazouya
chiremba,akavadzinga ndokuzoenda kubasa murume
mukuru akaswera aine stress chaiyo ndipo
pakazouya umwe musikana anobika Tea kubasa
kwavo anonzi Dorcas akabva anyatsokutarisa chiso
cha Clemence kumeso ndokubva ati "Nhasi
kwakanaka here vaChidzero kusamwa svutu gadzike
mukunyanyofungeiko nhai.?"

"Iii Dorcas zvinonetsa zveraramo izvi paunoda kuti


uende mberi zvokudzosa shure."

Vaviri vakatanga kukurukura kusvika Dorcas ati ''


Nhasi ndinoda kukuonai muchinyemwerera chiso
vaChidzero."

Mhamha vakadimbura nhare ndokubva vatanga


kuchema vakati "Mwana wangu Babamunini vako
vanemoyo wakaipa chose vatadza kuuya kuzokuona
havana kusiyana moyo wavo newa Beauty vaviri ava
nekuti unotoshaya kuti kuda kwangu here kuita
Chirikadzi,nhaiwe."

Amai vaGwinimbi vakatanga kuchema ndokubva vati


"Mwanangu handivate zuva nezuva ndichifunga Mari
yandakashanda naJeisa Baba vako yodyiwa
naDickson asina kusevenza zvese zvatakabudira ziya
mwanangu,zvongoti mbombo here isu taive vapfumi
hona izuva rimwe ratiita varombo wakaona Amaiguru
Beauty vakadya takatarira mazai regei vakukora
hembe dzangu dzava kudonha Gwinimbi nhamo yedu
iyi tokunda mwanangu".

''Asi mhamha zvichapera rinhiko tarirai Sekuru


vakandikuvadza gumbo nekuda kwemudzimai wavo
izvezvi Ambuya vacho havauye kuzondiona zvavo
vakandirova nemugoti gumbo irori Mhamha.''
"Mwanangu ukapora ita zvese,zvikurehwa naMbuya
vako mwanangu nekuti pekuti tindogara
hatichina,ndinoda tishande zvedu tiri vatatu zvisina
bopoto,maoko maranda aya haaperi kudyiwa awa
mwanangu,ukateera ini Amai vako tinoenda mberi.''

Nguva ndidzo dzakazokwana madeko awa zuva


rakatevera Gwinimbi akashamisika kuona Sekuru
vake vachiuya nemaranjisi pamwe nemabanana
kuzomuona,Sekuru vakabva vangokumbira
ruregerero nezvainge zvaitika pakumutema
nechituru,vaviri vakatanga kuudzana nyaya
dzakasiyana siyana Sekuru vakazoenda kubasa havo
asi Ambuya vake Beauty havana kuuya zvavo.

Madeko Sekuru vakauya sezvo ndiro zuva


raakabuditswa muchipatara Gwinimbi uyu aine
zvimadondoro zvekufambisa.

Vachisvika kumba naye Ambuya havana kubuda


kuzomuona asi zuva rakatevera Sekuru vaenda
kubasa Ambuya vakauya nezvishainiso neCobra
ndokubva vatora zvimadondoro zvainge zviina
Gwinimbi vakamurova gumbo riya rakakuvara
nedondoro ravainge vabvuta.

"Iwe mwana wemukuwasha kurukidza kuita basa


izvezvi kurumidza kuzora cobra ndikuda kuona imba
yangu yopenya kunge girazi kasika Gwinimbi hauna
kukuvara ukuzviitisa.''

Gwinimbi akangokwanisa kuti "Amai,Kani


ndopondwa."

Ambuya vake vakakanda zvimadondoro pamusoro


pemba ndokubva vazvikiira mubhedhuru mavo.
Gwinimbi akatanga kuedza kukotama negumbo riye
akatanga kuridza mhere achizora kudero uyuwo
Gundani ainge aenda kwaChikwanha kundotenga
madomasi pamwe nemuriwo Amai vaGwinimbi
vainge vaenda kumatare edzimhosva vachiedza
kufambira nyaya yepfuma yaJeisa yakapambwa
naDickson yavaida idzoke kwavari.

Gwinimbi akashanda akapedza Ambuya vakazotora


rinoziwaya vakatora madondoro vakamupa ndokubva
vati "Mangwana ukada kutevedzera muviri
ndinozvirasha zvidondoro zvako panapa uchadya
chebanga handipe munhu asingashandi chikafu
chese ndiwe uchaita Gwinimbi, Mangwana ndinoda
unotambira Cathrine kuRoadport Mangwana akubva
kuSouthAfrica uende wakageza kwete
kuzomunhuwidza chironda chako."

"Ehoi Ambuya."
Vakauya neTea ine peace imwe chete isina
margarine zvawo Tea yacho yaidziya hayo isina
masamba kana mukaka zvawo wakakora.

"Sekuru vakauya zvese zvamunoita ndikuda


kuvanyeurira chete Ambuya Tea isina mukaka imi
munosiirwa 5usd yechikafu asi
munosarudza,kutenga loaf ribodzi nhasi ndaona
Sekuru vachiti mutenge mazai Crate asi...."

Gwinimbi haana kuupedza muromo iwowo Ambuya


vainge vasvikobvuta dondoro rake zvekare asi apa
akabva azvishingisa kutiza akazviikiira mukamuri.

"Mwana waJeisa wakuda kundipa mutemo pamba


pangu ndikaswero chengeta chipota
nemadziro,chakaita sewe dai uri chibetsero
semanyowa ehuku anokurisa muriwo manje uritsvina
yembwa isina chibatsiro kwandiri Gwinimbi hondo
yako neni haina kupera zvekuti unendebvu ndiri
Chihelele ini Chihera Special."

Vakadzi vepanext door Amai Brenda vainge vobata


chiuno vachiombera maoko vachiona Amai Cathrine
vachibhidhairira Gwinimbi uyo aive azvivatira
achibuda misodzi.

"Mwari ndimi Mwari weChirikadzi nenherera asi


ndionewo ndikapora ndikuda kundotsvaka basa
kumaIndustry kuCone uko ndikariwana chete
chegumi ndokupai Jehovha,varipo vakapfuma
vakabva mukushahdiswa wani Jehovha itai
chandichabata chipundukewo."
Uyu waive munyengetero waGwinimbi uyu waaive
achiturira kuna Ishe hake.

Amai vake vakazouya kubva kuMatare edzimhosva


akavanyeurira zvakasara zvichiitika vakati "Beauty
anemoyo wakaipa ndoshaya chatakamuresvera
mukadzi uyu kubvira paaidanana naSekuru vako uyu
haana kumbondifarira nekuti ini ndaiwirirana
naMavis aidanana naSekuru vako ivava asi Beauty
akaita zvekumanikidza Sekuru ndokubva avatizira
Mavis paakazviziva akabva a......"

*Dickson*

Mukoma Jeisa havana chavakaona shuwa munakiro


ukuita Usdollar ravakasiya unombofunga kuti
Zimbabwe inenhamo here ikuchemewa
nevakawanda kudai vachichema mafuta ekubikisa
adhura maCases mabox emafuta mupunga bhinzi
dzemugaba,manoodles, kana mimba dumbu,rainge
ratanga kuoneka ndakachaira nhare Mukoma
Gatsmine.

"Mukoma makadii."

"Tiripo munun'una urisei upenyu hwako."

"Hutsvene Mukoma ndinechikumbiro."?

"Cheiko munun'una wangu."?

''Mukoma ndinoziva ndimi makahwina purazi


rekwaMtoko pa Will, ndaikumbirawo kurima
mbatatisi dzangu ndozokupaiwo mbichana Mukoma."
"Mupfanami ndichandoitaura naGulez vako
ndokuudza zvavanenge vareva."

"Zvakanakai Blaz."

Nhare yakabva yaguuka.

*Gatsmine*

Ndainge ndiri busy kudiridzira Soya beans dzairimwa


namukoma Jeisa zvangu pandakanzwa nhare ichirira
ipapo ndainge ndichiisa masprinklers irrigation nema
engeneer abve Harare ndipo pandakanzwa ndi
Dickson akutaura nezvemunda ndakabhowekana
nazvo ndikati ndiudze Amai Kuda, sezvo tirinyama
imwe handingarongi ndoga kunge bhachura.
Ndakaoneka vashandi vataiisa navo Sprinkler
irrigation ndakasvika Amai Kuda vachibika paGas
ndikati.

"Amai mwana ngatitauriranei panenyaya iripo


Dickson ati akudawo munda akuda kurima mbatatisi
dzake."

"Kuitasei ku........"
CHAPTER 5

"Kuitasei kupa Dickson munda imba dzimotokari


dzaakatora paWill takamukumbira here nhai Baba
mwana Dickson haalume."

Mashoko emudzimai wangu akandikatyamadza


pachokwadi ini manje Dickson achazvitambira here
izvi zvirikurambwa naAmaiguru vake ava ndakabva
ndaenda pana Madam ndokubva ndati.

"Manje Dickson anozvitambira here izvi dai tangoti


patinopedza kukohwa Soya beans orima hake.''

"Izvozvo kwete isu tisu tikuisa mbatatisi kana


arwadziwa anotsvaka kumwe."
Munguva idzi Vadzimai vakabva vatora nhare mbozha
yangu ndokubva vatanga kufona nhamba dzaDickson
vakaisa pa loud chaipo.

Yakabva yadairwa "Babamunini Dickson makadii."?

"Tiripo Amaiguru kurisei kumba."

''Kumba kutsvene hako mainge makataura


nezvekuzoda kurima munda mbatatisi naMukoma
venyu kaa".
"Hongu Amaiguru zvegore rino hazvo."

"Manje izvezvi mbesa dzembatatisi dzikutoburutswa


nemarori izvezvi saka zvatova zvemwaka unotevera
makanonoka kutiudza pachinenguva Babamunini
tingadai tisina kutenga mbesa,mishonga pamwe
nemafotereza."

"Haa Zvakanakai Gulez hapana chakaipa rimai


ndozosimudzirawo mwaka unotevera."

Ndakadimbura nhare ndokutarisa murume wangu


ndikati "Unotya Dickson kunge ndiye Mukoma usaite
dera raBaba iwe."
"Watanga Sharon iwewe asi Dickson akurwadziwa."

"Asi mukadzi wangu dai tambonotsvakawo Gwinimbi


timuchengete adzidzirewo kurima."

"Eeeh eeh Gathsmine Gwinimbi nyarara nyaya yake


pfuma yese inoi anoitora ukuona Dickson
wemudumbu akudawo munda uno saka usamutse
zvirere."

"Shuwa iyoyo Amai mwana nekuti Dickson ndiye


akatigova neWiri papi pandairamba hupfumi
hwakanaka uhwu."

"Ngaarohwe nenhamo naAmai vake


Makanaka ,pamwe naGundani."

Vaviri vakatanga kupwininika nekuseka zvavo.


*Dickson*

Ndakazoti ndigere zvangu ndipo pakapinda nhare


ndakaona nhamba dzamukoma Gathsmine dzichifona
ndakatanga kuvanechidokwa dokwa chekuti
mbatatisi ndakunodzirima mbeu ndobva ndanotenga
hangu ndakaisa nhare panzeve tikatanga kutaura.

Asi chakandibhowa ndozvandakaudzwa naSharon


Amaiguru vangu vachiti "Vakatenga mbeu vakudawo
kuisa awo mapotaitozi."

Ndakabva ndangoti nechemumoyo uku kunyimwa


nhai.

Hapana kuipa ndakatenderana navo hangu asi Hondo


yemunda ndikazoiita mumwe anoenda kumakumbiro
chaiko regei tiwone kwazvirikuenda hazvo isu vana
Dickson ndakaenda kunoverenga Mari yamukoma
ndakaitora ndokumboiverenga Mari yaisvika kuma 18
thousand,mari iyi ndakaiverenga ndokubva
ndasanganidzana nekanote "This 18 thousand is for
Filling Station in Masasa."

"Saka Mukoma vaida kuvaka Filling Station nhai


ndakaenda kubasement ndikaona paine
zvikwangwani zvakanzi Jeisa Petroleum. "

Ndakaseka zvangu hangu ndichibuda mumba


ndakaona munhu akauya nekatsamba ndokubva
ndaenda muChiletter box ndakatora tsamba iya
ndokubva ndaiverenga ndikaona yakanzi from
"Chitungwiza Magistrate Court".

Ndakaivhura ndikaona yakanzi Dickson you are


invited to testify against the will you say it belongs
to Jeisa."
Ndakanzwa mudumbu weduwe ndakamhanya
kunotora bucket ndikazviitira manyoka chaiwo weti
chaiyo yakabuda apa.

"Gwinimbi ouya pano here kwete onditorera pfuma


yangu yandakasiirwa namukoma wangu ichi
chipfanha ichi saka Makanaka ndiye asimudza
musoro nhai."

Ndakanochinja nhumbi dzangu ndokubva ndaenda


mukitchen muya ndikabva ndaona Amai Jakobho
vachinditarisa neziso chairo.

"Kwakanaka here Baba Jakobho kusafara kudai."?

Ndakamuratidza tsamba iya yandainge ndaverenga.

"No Gwinimbi ndiye akafurira Mai vake chete.".


Ndakarwadziwa weduwe mudzimai wangu akauya
akandibata mapendekete ndokubva anditsvoda
padama ndokubva ati "Baba vemwana kana muine
Mari izvezvi endai munotenga Lawyer pamwe
naJudge nyaya iyi yongoperera mumhepo sechiutsi
motowona mavapa chioko muhomwe tingaswere
taruza upfumhi uhwu Jakobho ndiye akusara
achigara muimba inoyi kukanzura kunode kubvisiswa
zita raJeisa."

"My wife wauya nepfungwa dzandainge


ndisisatarisire mupfungwa dzangu, that's why uripo."

"Handei kuChitungwiza titange taona achatonga


pamwe nemagweta."

Ndakataura izvi ndichitora makeys emotokari C


Class.
Ndichida kuti ndisimuke kudai nhare yakatanga
kurira ndikaona zvadziri nhamba dzamuchembere.

"Dickson wakashinga kuti vana VaJeisa


vatambudzike iwe nemudzimai wako mopamba
henyu Dickson mwanangu shanda zvako zvisina
bopoto nekuti zvawakaita iwe pamwe naGatsmine
handisi..."

Ndakadimbura nhare yamuChembere iyi ndikadzima


foni handiudzwe nonsense dzakadai.

"Ko madimburirei nhare nhai Baba Jakobho."

" Nekuti iku....."

"Mavis paakazviziva akabva aenda nenyika hake


pachokwadi Beauty ndainge ndisingamufarire
zvamuchose."
"Hoo ndipo pakamuka daka riripo nhai saka pakaipa
nhai."

Pakadoka zuva Amai ndivo vakabika Ambuya Beauty


vaindonotenga Sadza kuCanteen havo
vasingatombodyi chabikwa na Amai apa ndipowo
pataikavhira masikati sezvo Sekuru vanenge vavapo
saka zvinenge zvakadzora zvee ndakarova
zimukonde reSadza zvisina mukare akamboona.

Ambuya vaive mubhedhuru havo nguva dzekunorara


ndakaona Amai vachindovata ndakabva ndasara
ndichiona hangu firimu hangu ndakanzwa kakutaura
sezvo Sekuru vainge vaenda kubhedhuru.

"Saka Beauty ukundinyima bonde kunge ndiri


bhachura haunzwiwo tsitsi here mukadzi wangu
nhasi kubasa nhengo yangu yanga ichingovhita
vhita."
"Zvirinani kupa hangu imbwa bonde kuti uwane
bonde ndokunge wadzinga Hanzwadzi yako pamwe
nemhuka dzayo mbiri."

Ndakabatikana nemashoko awa, pachokwadi


ndakanzwa nhare yaSekuru ichirira ndakasongorera
ndokubva ndawona zita rakanzi "Dorcas."

Sekuru vakabva vatemwa nefoni "Watangana nana


Dorcas iwe hure iwe Clemence Amai vako vakatadza
kukuisa mukaka kusikarudzi uku haupfuurwe
nedhirezi dakukukurova."

"Zviyedze uwone,Beauty ndinokupesanisa shaya


ukunzwa nhasi ukundipa here ndoenda hangu kuna
Dorcas waukuda kundirovera."

Ndakaona Sekuru vachiita sevavakuvhura mukova


ndipo pavakadhonzwa ruoko ndikaona vakuita
mutambo wevakuru ndakazobvapo ndaona kuti izvi
hazvisi zvangu c hokwadi.
Pakaedza zuva ndakabva ndaona Ambuya vachibuda
ndokubva vati "Gwinimbi enda unotambira Cathrine
izvezvi kasika geza mvura yakarara panze usabate
Kettle kuda kuedza kudziisa."

Ndakaenda kunogeza mvura yaitonhora chimbi


chimbi pachokwadi ndakazora mafuta enzungu.

"Iwe ukuda kunonhuwidza mwanawangu mafuta e


pure drop kwana tora Nivea uzore apa udzorere
handidi kuona yanhomborwa."

Ndakazora zvangu,asi ndainge ndakabatikana


ndakazoenda naGundani kuRoadport tichisvika
kuRoadport takamirira Cathrine paakandiona akauya
akandimbundira ndokubva ati "mwanangu ndafara
kukuona."

''Kana neni Amainini".


"Ndakuunzira masnikers ayo👟 ako nea Gundani
maedzei muone mukukwana here."

Takamaedza kudai ndokubva akwana takafara


weduwe.

"Ma Shirt nema trouse enyu garai matozviviga


Mhamha vakaziva kuti ndezvenyu hazvibudi
zvakanaka mhamha vanehutsinye hunobhowa vaya."

Takaita sezvairehwa na Amainini Cathrine.

"Chihandei ko wakaita sei gumbo nhai Gwinimbi."

"Ndakatemwa nechituru,naSekuru vachida kutema


Ambuya chakabva chanditema ini."

"Sorry Gwinimbi am so sorry nekushaya


kwaBabamukuru vangu,vakarwara here.?"

"It's a long story Amainini imba zvese zvakatorwa


tiakauya kumba kwenyu."
"Pasi pano pane vana vaSatani chokwadi Iiii
Gwinimbi na Gundani ndinoti Mwari vakuda kuti
zvinake ndiMwari vakaita zvidero mwanangu."

Vakazokwira makombi kuendakuZengeza.

Vakasvika Pamba Amai vacho vakabvuta Sachel


rainge riina Gwinimbi,ndokubva vati.

"Cathrine ukuda kuzviita Mother Theresa vanobatsira


nherera nhai,wavapa kuRoadport ikoko ukati vigai
manje mbatya dzawapa Gundani na Gwinimbi
dzikuenda dzose kwaChikwanha kunotengeswa pano
hapasi pa Mathew Rusike pano."

Asi Mhamha izvozvo ka ha.............


CHAPTER 6

"Asi Mhamha izvozvo ka hazviite baa,Hapana mbatya


dzirukuenda kwaChikwanha haisi."

Cathrine haana kuupedza muromo iwowo mbama


yainge yamumhara padama.

"Iwe Cathrine ndakapishika matoti iwewe ukunzwa


ini ndini Amai vako unditeere ukunzwa kaa kana
wada kuita tsiye nyoro ndokudzingai nanaGundani
ava pamwe naGwinimbi."
" Mhamha moyo wenyu ndehwa Jezebel uyu
Gwinimbi idzi hembe dzenyu vigai."

Ndakabva ndabvutira Amai bhegi renhumbi


ndichitambidza Gwinimbi naGundani izvi ndakaona
kuti zvavabata pachokwadi.

Asi ini handina kufarira mubatirwo waiitwa Gwinimbi


ini ava murume mukuru uyu asi Amai Soo iii
vakaroiwa neakafa, pachokwadi.

Gwinimbi akabva anditenda,chaiko ndokubva ati.

"Amainini nemoyo wenyu uwu ndashaiwa


ndinokutendai neiko pachokwadi mandichenesa
Mwari awedzere patapudzwa."
"Ok asi Gwinimbi svondo rinouya toda kupota
tichienda kukereke Mwari atikomborere Chegumi
ukupa Mwari here ?"

"Ndochiiko chinonzi Chegumi nhai Mainini kunamata


kwacho ndomboziva kuti zvikubva kupi zvichienda
kupi ndakatojaira munamato wesadza ini."

"Ndinokufundisaa Mwanangu nezvekubvisa


Chegumi."

Maita zvakanaka Amainini.

"Gwinimbi ndavakumboenda kuZengeza 4 ku maraini


eku Chipatara ndinoda kuwona shamwari yangu
inonzi Meena.
"Zvakanakai Amainini regei ndinorongedza mbatya
pakanaka."

Pakaenda Cathrine Ambuya vakaenda kumashops


kundotenga Parrafin yavo havo muchigubhu che
Super.

*Beauty*

Hazvina kundiitira mushe Cathrine kuhoresa


vanoshaya vakaita saGwinimbi naGundani
ndakatanga kudemba Samantha Beatrice,naMichelle
vanonditeerera dai varivo vakauya kubva kuMzansi
chaiko nhai,pakabuda Cathrine ndakaona urimukana
wekuenda kundotenga parrafin iwowo ndakaenda
paZengeza 2 Filling Station ndikaisirwa Parrafin
muchigubhu cheSuper ndakadzoka ndikaona
Gwinimbi achizorwa mushonga pagumbo chaipo
wena.
"Nherera dza Jeisa mabhegi enyu amapuhwa
ndikuda kumaona izvozvi itai chipata,pata nhaka
yemakonzo kumaunza."

"Kwete Ambuya hatisi kumaburitsa mabhegi edu."

Ndakanzwa hasha ndakasimudza dondoro


raGwinimbi ndichida kumutema naro musana naro
asi akabva arichirika akamhanya mumba neku
chimbidza apa ndainge ndafunga zvekupisa mbatya
neParrafin yandainge ndatenga vakapusa vana
vaJeisa ava,mhani vakabva vazvikiira muspare.

Ndakazoenda kunogeza asi musi uyu iii ndakanonoka


ndiri mubath ndichifunga kuti ndodii nenherera
dzakauya pamba pangu uye Dorcas ambori ani
chaizvo asi Baba Cathrine vakufambidzana naDorcas
futi haa murume,wangu zvaava mombe yemashanga
nhai.

Ndakatanga kufunga zano rekuita kuti ndinyatsova


nehumbowo wekuziva nezva Dorcas.
Musi uyu Baba Cathrine kubva vanonoka kuuya
kwakanaka ndakabuda ndikanozora mafuta
nduchipedza ndiyo nguva yakasvika Makanaka
ndokubva ati "Maswerasei Amaiguru."

"Taswera kana maswerawo Tete."

Ndakadaira hangu asi ndaingobhowekana navo Tete


vangu ava ndivo munhu akuparadza imba yangu
manje.

"Mukubva kundotsvaka zvimwe zvikomba Tete


kuchena kudai."

"Kwete Amaiguru ndiri kubva kumusika


weChikwanha hangu."

"Hooo ukuita kuvhima maBlesser nedemo nhai


Makanaka Tete wangu."
Ndaida kungomubhowa asi Makanaka haana
kuratidza kudhinhiwa ndakaenda kundobika
ndakaenda mubhedhuru ndokuvhura maive
nemuchetura weNgwena wandakapuhwa naAmbuya
Kambishi waive mukapepa kanogara nzungu
ndakatora chipunu ndokubva ndafunga kuda kuisa
muchetura uya asi dzimwe pfungwa dzakati Stop
stop.

Ndakaudzorera hana yakurova asi Makanaka


anofanirwa kufa ndonyatsokushandisa vana
Gwinimbi naGundani sevaranda vangu chikafu
vanochidya mauro badzi ndodiiko Makanaka
akangwarisa uyu ndofanirwa kumurigira pasi chaipo
ini Beauty.

Pakadzoka Cathrine aine kaSahwira kake kanonzi


Meena ndakapererwa ini Meena aive akaita kuchena
zvisina kana mukare akamboona zvake ndakaramba
ndakayeva Meena ziso raakapuhwa naGwinimbi
rakandikandisa mapfumo pasi ndakabva
ndadanidzira ndokuti "Meena mwanangu Gwinimbi
uyu akuyeva idzvinyu risina kana negushe pombi
yadonha pana Gwinimbi uyu akakupfimba usafi
Wakajira hako mwanangu tsvaka vanoenderana
newe inherera futi,rovha remakoko."

Meena akanditarisa ndokubva ati ''Mhamha handioni


paine chakaipa kumhoresa nherera idzi uye Hamusi
Mwari anoziva remangwana Gwinimbi will be my
friend not as a lover zvamuri kufunga."

Ndakaona kuti apa naudzwa chokwadi hangu


pachokwadi Meena akanaka hake asi Gwinimbi meso
ake kubva achangamukira kudai nhai iiii.

*Gwinimbi*
Kubva zvakabuda Amainini vangu takasara
tikaoneswa ndondo naAmbuya Beauty vaida
kutipisira mbatya neParrafin ipapa takaramba nadzo
ndipo pavakabva vabvuta dondoro ndikanzvenga.

Zimbuya iri raida kundiuraya kana Tsitsi neni


mufunge apa ndakaenda mumba ndikazvivharira
ndakazibuda panze ndanzwa inzwi raAmainini vangu
vachindidaidza ndakabuda mumba kuenda panze
hana yangu yakarova nezvandakaona weduwe
Amainini vainge vauya nemhe nya tsvarakadenga
chaiyo ''Gwinimbi this is my friend Meena
wandaitaura nezvake Meena ndiye Gwinimbi
wandambokuudza kumba kwenyu."
"It's nice to meet you Gwinimbi". akadaro Meena
achinditambanudzira ruoko rwake ndakasimudzawo
rwangu ruoko ndakanzwa anenge magetsi chaiwo
ndikaita kanguva ndakaribata ruoko rwake Ambuya
Beauty ndipo pavakabva vasasa Pfocho yavo havo
ndakabatikana nekutaura kwavo ini asi Meena
akavapindura zvekuvanyararidza.

Ndakademba kuti dai ndaiva nefoni nhamba


dzerunhare ndaiswera ndatora hangu pana Meena
apa ndakanytsokumutarisa Chivakashure chake iii
unga chakasengeswa mashamba matatu mufunge.

Paakaperekedzwa na Amainini vangu ndakashaiwa


remuromo pavakadzoka ndakabva ndati.

"Iiii Mwana wamaireva Ninez ndazomuona haa


akanaka mhani,ndiyemunhu aita moyo wangu urove
Ninez asi nehurombo uhwu Ndiwo uchanditadzisa
kusvika pedyo naye Ninez."

"Kkkkkkk mwanangu Future waida chokwadi


ndazviona ukashanda nesimba future unoitora
mwanangu."

"Ko madimburirei nhare nhai Baba Jakobho."

"Nekuti ikubhowa vanhu vacho vakutaura


zvinobhowa zvandisiri kufarira."

"Ndiyani iyeyo ataura zvakubhowai nhai Baba


vaJakobho."

"Amai zvee vatanga nyaya yepfuma yamukoma


Jeisa.''

"Haa siyanai nazvo rongedzai mashereni tiende


kuChitungwiza."
Ndakaenda kunotora mari,yacho ndokubva ndamutsa
C Class yangu takasvika kuChitungwiza Kudare
ndikawana vandakabvunza ndakaenda kugweta
pamwe nemutongi ndokubva ndaendaswa navo
kukamuri yakavanzika ndikati.

"Varume honaiwo upfumi hwandiinahwo ndehwe


kupamba asi mese munoziva mutemo nyaya ikapinda
mudare ndinosungwa munondibata nemhosva asi
ndaikumbirawo mumirewo neni please."

"No mutemo unotisungirira."

"Please ndiitirewo l will do anything for you guy's."

"Like.?"

",Ndauya ne15hundred dollars for you both guy's."


Ndakataura ndichivatambidza mari ndikavaudza zuva
raipinda nyaya mudare zvikanzi "We shall stand with
you."

Ndakafara weduwe ndichiona hangu kuti Gwinimbi


haafi akandigona zvamuchose handitangike ini
ndagara ndirimberi kwake sehuma ini vachaseva
nemvura vati vadii handisi kuzombovapa rubatsiro
rwangu chishuwo changu ndechekuti gumbo rake
riore rishaye anorapisa,uye Jakobho ndiye akuzodya
pfuma yaBaba vaGwinimbi iyi ndonzi Dickson uye
ndinoti chandareva ndichocho Amai Ndiyo imwe
damhudziko zvakare futi ndofanirwa kuvaratidza
hunhu hwangu,kuti handinzarwo mhani pfuma iyi
ndeyangu yese Mukoma Gathsmine ndakavapa
munda ndichiti zvatainge taronga tese kudonhedza
Jeisa ivo vondipawo chidimbu chandinorima munhu
haavimbike weduwe mhani,mhuka inonzi munhusoo
kwete baa.
Ndaizvifunga ndichipa magweta Mari yangu
ndakabva ndichienda kuna Vadzimai ndiine vimbo
yakakurisa chaiyo yekuti pfuma ndahwina ndakabva
ndanyorera Mukoma Gathsmine message.

"Mukoma Amaiguru Makanaka vakaendesa nyaya ye


Inheritance kumatare edzimhosva

Saka huyai tionere pamwe sechuma chemuzukuru


Mukoma nyaya yepfuma yenhaka yakutsvuka ropa."

Pakaita nguva ndokubva yarira message yaibva


kunamukoma Gathsmine.

"Ndichauya ikoko Ndakambokuudza kuti gara nhaka


Maka hona manje kupusa kwako iwewe"

"Mukoma nyaya yamavakuti ndakapusa isu


takaronga tese here musadero."

"Tyairai motokari imi mukumbotaura naniko nhai


apa."
"Ndikutaura naa."

CHAPTER 7

"Ndukutaura naMukoma Gathsmine parunhare."

Pfuma yamukoma Jeisa ichashupa iyi apa,takaita


yekupamba uye ndakagadzira Will yechitsotsi apa
zvikabuda pachena ndichadii apa potoda kusunga
dzisimbe apa ndaifunga zuva reMuvhuro ndiro
ririkupinda nyaya iyi mudare dai Mutongi
akandipukunyutsa hake panyatwa yepfuma iyi
veduwe.
''Adzimai nyaya yepfuma iyi ichatishupa sezvo
Gwinimbi mupenyu toita sei naye mupfanami uyu
nekuti ndiyo nyoka ichatiruma."

"Gwinimbi izengairwa iro Baba Jakobho dai aive


nesimba aiedza kuita nharo patakatora pfuma
yaBaba vake."

"Shuwa iyoyi Mai Jakobho haa takagona pakupamba


pfuma apa."

"Muvhuro tikutopinda machena isu tichange


tichibuda nepaburi retsono."

Takazomutsa motokari kudzokera kuSabhabha


rakasiiwa naMukoma Jeisa haa zveidi Mukoma
aishanda nesimba weduwe imba yacho ine makamuri
makumi maviri nemashanu unoti imba kana kuti
Hotera nekuti mukoma vakashanda zvinesimba ini
ndainge ndakateya hangu imba iyi zvitorinani
Gwinimbi adye nhoko dzezvironda ofamba
nezvigamba isu tichinwa neCondensed milk
nekutiwo nhamo takamboionawo paMufakose apa
regei vakuru vakati rugare tange nhamo

Chokwadi nekuti patakabvisa Zino mumhuri pasara


vende uye Gwinimbi harisiriro reGoridhe
richapindapo uye chandoziva ivo naMai vake vaita
vatete ava vana ava.

*Makanaka/Gwinimbi*

Zuva rekuenda kudare redzimhosva waive Muvhuro


ndakaudza sekuru musi wemugovera kuti "Sekuru
ndakaendesa nyaya yepfuma kudare redzimhosva
kwaMakoni ndinoda kuhwina nyaya iyi tidzokere
pamba,pedu purazi mombe zvakapambwa
neveukama zvidzoke nekuti vana ava vanorararama
sei zvisipo."

"Sisi nyaya iyi yakaoma asi Mwari ngavawane


nyasha panhau yenyaya iyi imba yenyu inenge hotera
yongotorwa nezimunhu risingazive kuti chunhu
chese chivepo chinobudirwa ziya hazvinakidze,endai
mangwana motiudza zvinobudako."

"Zvakanakai Bhudhi."

Ndakaisa munyengetero wangu nguva yandaivata iyi


ndakanyatsokupa mbiri kuna Mwari vakasika denga
nenyika kuti vandinzwewo pandirikuenda kudare uku.

Hope dzakandibata ndakamuka rungwanani ndikaita


basa rese repamba kukwesha chimbuzi
ndakazoonawo Cathrine amukawo akusuka ndiro
ndikabva ndati.

"Siya ndiite."

"No Tete ndicharoorwawo kaa ndotoda


mundidzidzisewo basa Amai vaisada kuti ndiitewo
basa."

"Hapana chakaipa mwanangu ndinokufundisa


usatya."
Zuva rakakabuda ndatogeza ndakabva ndaudza
Cathrine na Gwinimbi kuti ''Handei Kudare."

Vese vakabvuma takazobuda kumaHalf 7 kundokwira


makombi anoenda kwaMakoni takasvikako nyaya
yedu ndiyo yakazopinda kuma11 ndakaona
Babamunini Dickson vakarova suit chena bhachi
remurume wangu raakafa asina kupfeka pamwe
neshangu yacho.

Mutongi akazodaidza Gweta rikatanga kutaura


nyaya iya.

"Dickson unobvuma kuti zvauchataura pamberi


pedare uchipika neshoko dzvene kuti ichokwadi
Mwari ngavandibatsire."

"Hongu"
"Dickson ukupomerwa mhosva nemudzimai waJeisa
Makanaka kuti wakauya neWill yenhema
unotenderana nazvo here izvi."?

"Will iyi haisi yenhema ndiyo yakasiiwa yanyorwa


namukoma Jeisa vakandiudza kuti Gweta remhuri iro
vaMurambiwa ndivo vanogara naro VaMurambiwa
ava ndivo vaneWill yakasiiwa nemushakabvu,uye
ndiyo yatakaverenga pakugova pfuma yemufi."

"VaMurambiwa simukai mutiudze."

"Chokwadi ichochi Will ndiyo yakauya


nemushakabvu iyoyi akauya nayo naDickson uyu."

"Saka zvinhu zvainge zvakanzi ndozviripo


ndizvo,zvamakagova here."?

"Hongu."

"Makanaka ukubvumirana nazvo here."?


"Zviri pa Wiri handisi kubvumirana nazvo vanhu ava
vakapamba imba yandakasevenza nemurume wangu
kwemakore mazhinjisa kwazvo dzimwe nguva
tichidya muriwo usina mafuta kuti tivakise imba iyi
Dickson pakafa murume wangu ndini nyakumufonera
kuti mukoma vashaya ndokubva auya nesikorokoro
yemotokari uyu akasvikondidzipa pamwe
nekundibata mazamu angu awa achida maCards
ekuBank akaba mari...."

"Makanaka zvakwana regei tinzwe mwana


waMakanaka."

Ndakaona Gwinimbi aita kutsamwa nehasha


pandainge ndanyararidzwa vanhu vakabva vatanga
kudanidzira.

"Musiyei apedzise ndiho huori hwauraya nyika ino


uhwu inga akutaura chokwadi wani musadzvinyirire
Chirikadzi.
Mutongi akazorova kasando vanhu ndokudzikama
kwavakazoita.

"Ishe wangu Babamunini Dickson vakandidzipa


pandakavaona vachiverenga Mari yakashandwa na
baba Nhai Babamunini isu torarama seiko
muchinzwira pfuma yakashandwa nemufi ginger
rakadai,shuwa mukutofarira kutiona tichidya nhoko
dzezvironda,zuva nezuva patinorara panenge
pakazenga misodzi tichichema upfumi hwamakatora
nechisimba."

"Ishe wangu zvikutaurwa naGwinimbi ndonhema isu


tisu takasiirwa nhaka saka ngaashande zvake
Gwinimbi fuzi remwana rinoda zvevapfupi nekureba."

Mashoko awa akarwadza Gwinimbi pamoyo akabva


adedera nehasha ndipo paakasimudza dondoro rake
raaifambisa ndokubva rarova Dickson kumeso
mapurisa akabva asvikokika Gwinimbi mabhutsu
emudumbu Vanhu vakada kuedza kutakanutsa asi
mumwemupurisa akaburitsa pfuti pamwe nekuvhara
door vanhu vasabude mudare mupurisa uya akabva
ati.

"Nyaya ngaipedziswe kutongwa Gwinimbi tikuda


kundomufundisa hunhu akapusa mupfanha uyu
ashaiwa hunhu mudare Mutongi ipai mutongo
panyaya iyi."

Vanhu vainge vavakutya Gwinimbi akazoita


zvekusimudziwa Simba asisina nemapurisa vakaenda
naye.

Judge vakabva vati.

"Sezvakanyorwa paWill Dickson and Gathsmine


ndivo vogara nepfuma yavakasiirwa nemukoma wavo
sezvo zviri zvido zvemushakabvu zvaakaisa pamoyo."
Court Dismissed achirovera Sando pasi Makanaka na
Cathrine misodzi yainge yongoyeredza Gathsmine
akabva auyakuna Makanaka ndokubva ati
*"Urimwana waSatani Makanaka iwewe kutadza
kushandisa maoko akoawa ukuda kutora purazi
randakadyara mbatatisi hausvodi ndosaka
wakauraya Mukoma ndikuda kukupinzisa mujeri
Gwinimbi kwaaenda akadzoka haa anerombo."*

Mashoko akabuditswa naBabamunini Gathsmine


akanyatsokutaridza kuti munhu anehudyire hukukutu
chaihwo ndakuudzwa mashoko anorwadza Mwari
ndivo vanoziva havo.

Simba rekufamba ndakarishaiwa ndakaerekana


ndapunzikira pasi ndiye ziiii.

*Dorcas*
Clemence ndakazosara naye hangu ndokubva
ndamubata ruoko rwake ndikati "Chii
chikunyanyakunetsa mukungouya kubasa
makasuruwara chiiko."

"Ndakabirwa Mari muchikwama maCards ekubanka


muQue yeZupco ndiko kwandakabirwa."

"Ummm ukunyepa Clemence tell me the Truth."

Akaramba akatsikitsira musoro pasi zvake panguva


iyi sezvo lunch yainge yavakusvika.

Zita rangu ndinonzi Dorcas Chinyemba ndiine makore


29 ekuzvarwa ndine mwana musikana wandakaita
nemurume wangu anonzi Rodrick aishanda
kuPockets Hill takazosiyana ndamuona akuita
chipfambi nevamwe vashandi vepaPockets
Hill,kumba aive asisauye nenguva parizvino ndiri
Single Mother ndichishanda kukambani inoita
zvekubika maChips neveruzhinji inonzi Cairns
Foods,body yangu ine ano magadziko makuru uye
ndiri mupfupi pakureba mushava pachiso chiso
changu chakanaka.
Nguva yeLunch takaenda tese naClemence
ndikatenga box re Red Riya Chicken inn takatanga
kudya tichitaura asi huso hwake wairatidza kuti
panezvinomunetsa zvikukutu seniwo ndakagara
nevarume ndainyatsoona chiso kusafara fara
semazuva ose sakandakangoti he will speak out.

Kumazuva rodoka ndakabva ndati Clemence will you


do me a favour for me."

*"What favour nhai Dorcas."*?

"Ndinodawo unondibatsira kundosimudza kitchen


Unit yangu yandakagadzirisa kuGlenview kunovezwa
kuye."
"Kwete baa mudzimai wangu Beauty akaona
ndanonoka anoti zvikufambaseiko,dai waenda
naWesley asina mukadzi uyu respect a Married man."

*"Clemence ndikungoda just your accompany


unongoudza Gulez kuti Nhasi tichamboita overtime
badzi ukuda here."?*

Ndakafamba ndichizunza angu magadziko anenge


Earthquake yakarehwa naKatarina iwaya akunzi
anodonhedza musika nevechizvino."

Clemence akatarisansokumbokosora hake takabva


tabuda nemotikari yangu takananga Gv hedu
mumota maingorira karwuyo kaAlexio Kawara kekuti
Karwiyo aka ndakanyorera iwewe kambo aka
kaindinakidza mhani,ndaingoyeva Clemence asi
aisada kunditarisa akabva azobvunza manje kuti.
*"Dorcas mwana wako akura sei."*

"Avenemakore mashanu uyu."

Takaenda nemudhorobha ndakaona Clemence


otenga Ice cream dzitatu yake neyangu imwe
handina kubvunza ndeyani hangu takasvikà
kumba,hedu tikaona hedu mwana wangu Pertunia
achitoburutswa nekombi ykuCreche.

"Mhamha masera here ndivo ddy vanyowani here."?

"Ehe".

Ndiyo nguva yaainge atambidzwa Ice cream na


Clemence.
Akazooda kubuda ndikati "Kana wauya kwedu
kuHighkands wotoenda wageza bubble bath kwete
kuda kundonhuwidza Gulez dikita."

"Haa."

CHAPTER 8

*Gwinimbi*

Ndakazoona ndiri mumota ndadirwa mvura


pandakapepuka ndakada kusimuka asi marwadzo
ekurohwa akati unonyepa ndakaona madhondoro
angu,motokari yakabva yamiswa ndokubva umwe
wemapurisa ati
"Sergeant amuka nemvura yandamudira."

"Thank God."

Mupurisa umwe wacho mukuru akabva ati.

"Mupfanami ndinokumbirawo utize kuno kwatiri


kuGoromonzi Babamunini vako Dickson vatipa danho
rekuti tikupisire mumotokari,asi ini ndahwa Tsitsi
nekuti ndaona hauna mhosva yauinayo iwe"

"Pfanha unerombo rakanaka tingadai takutsakatisa


uye chitorega kutaudzana navana Babamunini vako
zvachose izvezvi regei tiwone tanyepa kuti
takupisa."
Umwe wemapurisa awa aidaro ndakatanga kueredza
misodzi pamatama angu ndichinzwa mashoko awa
zvikureva kuti pfuma yaBaba ndiyo yandakuda
kupisirwa nhai manje gwendo guno tinopedzerana
chete.

"Oo Mari ukwire kombi mupfanami,nemandoro


unofamba here ayo."

Ndakatambira mari iya Ndokubva ndaenda hangu


kundokwira michovha hangu ndini uyo kunanga
kuguta reChitungwiza ndakasvika kumba Amai
variko ndaidongorera neburi reDurawall ndakaona
Amainini Cathrine pamwe neshamwari,yavo Meena
vachinyararidza Amai shuwa pfuma yakasara iyi
yakasarira isu vana asi izvezvi kwaita vanemadyo
vakutotikavira kunze mhuka inonzi munhu haiite
weduwe vese hapana akatevedzera zvakanyorwa
naBaba paWill,ivo vagere tata nekuda kwepfuma
yemufi izvi zvakaita kuti misodzi yangu iti
mhokoto ,kubuda ndakapinda muruvanze umu
nemadhondoro angu ndipo pakasimuka Amai
vachindimbundira "Gwinimbi you are back my Son
havana kukuvadza here."

Amai vainge vobata pambabvu dzangu dzandainge


ndabata dzvaive nemarwadzo.

"Who helped you."?

"Mhamha it's a long story Mhamha."

Ndakatarira kuna Meena ndikaona akandiyeva


ndokutarira Amainini Catherine ndakavayeva ndikati
"Let's fight Amainini so that our Inheritance will
return."

"But maJudge ese akatengewa navana Babamunini


aye handarwadziwa mwanangu Gwinimbi."

*"Zvinoita nditoveiwo mbabvu dzangu dzirikurwadza


kani iii pakaipa."*

Ndakaona pakuitwa chipatapata nhaka yemakonzo


kuuuya kuzonditova munguva iyi ndiyo nguva
yakauya Mainini ne first aid kit Amai vakabva vaenda
kundobika Amainini vakabva vati ''ndasiya chigero
Meena bedhenura bandage."
Meena akabva aita zvarehwa ndakabva ndamutarira
mumaziso ndakabva ndati.

"Bhedhenura usambotya hako Meena."

"Zvakanakai"

"Meena unomboziva zuva randakatanga kukuona Soo


moyo wangu hauna kugadzikana mwana wee."

"Iii nhai Gwinimbi moyo wako wotadza kugadzikana


neiko handichazvinzwisise."

"Ndati."

Handina kuzopedza kutaura zvandaida ndipo


pakauya Amainini Cathrine neChigero.
Ndakabhowekana mhani ndaida kuudza Meena
Zvirikuita moyo wangu mhani vaviri vakazondichinja
bandage ndiyo nguva yakauya Amai vaCathrine
vakauya ndokubva vaenda kubhedhuru vakapinda
mubhedhuru mataivata ndokubva vaburitsa
mattresse.

"Nherera dza Jeisa makuvata pasi sembambaira


mattres yangu ndatora zvese nemagumbezi July uno
chando chichakudzosai kwamakabva makapusa
stereki ndakaona misodzi pameso a Meena
nezvaiitwa naAmbuya Beauty chisiri chako masimba
mashoma Gundani akatotarisa Cathrine akabva
aenda kuseri neshamwari yake ndokubva atanga
kuchema achiti.

"Meena Amai vangu hutsinye hwavo unondibhowa


mhani ndinoshaiwa kuti vanovengerei
Gwinimbi,naGundani kudaro."
Zvakaita kuti ndirwadziwe pachokwadi.

*Meena*

Semuvhuro ndakazoenda kumba kwasahwira wangu


anonzi Cathrine iii NaSahwira wangu iii tirimukombe
nechirongo.

Ini naCathrine takasiyana nemakore maviri ari iye


mukuru kwandiri ini ndine 22 iye 24 kumba kwedu
kuZengeza 4 pedyo neChipatara mumba medu tiri
vashanu vakomana vana ini wechishanu
ndirimusikana mumwechete Mwana wavaChikadza
Chikoro ndakadzidzawo ndikapasa zvisina mukare
akamboona ndiine 8 Subjects kuOlevels 5 A 3bs

Alevel 14points,ndiri paMsu hangu, uye kumba


kwedu hatingati tiri,shoroma asi zvinhu zveduwo
zvezera redu tinazvowo motokari mbiri yaBaba neya
Amai Amai vangu ndi Chiremba paChipatara
cheChitungwiza.

Asi pandainge ndimirire Sahwira wangu uyu kumba


kwavo akapinda muruvanze naTete vake vasina
mufaro akandiudza nezvekupambwa kwepfuma
yaana Gwinimbi nehama akandiudza nezvekushaika
kwaBaba vaGwinimbi uye nekubva kwavaita kudare
redzimhosva kwa Makoni.

Iii zvakandibata ndakarwadziwa apo Gwinimbi


mukomana anerunako otambudziwa zvakadai vanhu
ngavavewo netsitsi,nengerera.

Gwinimbi akazouyawo asi ziso raaindipa weduwe asi


ndainge ndamera nyama paari Kasi akazotaura
zvekuda kutovewa ndakapuhwa chigero naye iii
mukomana uyu soo weduwe ndakasara ndoudzwa
"Hanzi moyo wake hausi kugadzikana nekuda
kwangu."
Ndakatadzawo kuzvinzwisisa pandaibhedhenura
bandage ndiyo nguva yakauya Cathrine neChigero
takamugadzira chironda chake pamwe nekumutova
Cahtrine ndiye akatova.

Ndiyo nguva yakauya Amai vaCathrine haa ndiyo


imwe Amai isina kumira mushe yakabva
yanyatsokupinda yaakaisa muromo mumhino chaimo
ndakati "Maswerasei."

"Taswera".

Ndakaona vapinda mubhedhuru ndokubva vaburitsa


mattress yaGwinimbi mubhedhuru ra Gwinimbi hanzi
"Nherera pasi magumbezi ndatora."

Nechando Ichi Mai vanemoyo waHitler ava.


Catherine akachema weduwe ndakamutevera kuseri
ndokubva ndati.

"Cathrine handei kumba ndinokupa mablankets


atakatenga kuwaverly uye kana uchida Amai vako
pavanenge vasipo kumba kunemubhedha upe vana
vako ava vanokuvara nechando uye zvirikuitwa
naAmai vako hazvisi zvatofundiswa kuSalvation
Army izvi apo ndiElder."

"Moyo yevanhu inosiyana asi waita zvakanaka


Meena wabatsira nekuti Amai vangu vakavenga
Gwinimbi zvinotobhowa chaizvo."

"Ndazviona."
"Eeeh Meena pano handidi kuona rutsoka rwako
mukuita basa remakuhwa muchitadza kurorewa."

"Sorry Mhamha kana ndine chandakakuresverai ini."

Takaenda kumba kwedu ndikapa Catherine


magumbezi maviri ndokubva aenda naro zvake
mwana wevanhu.

*Gathsmine*

Pane paunoona uchikunda Hondo huru apa


ndakaikunda zvinhu zvedu zvakaramba,zvirimugwara
Makanaka ainge anyangira yaona apa pfuma
yamukoma yava yedu namukoma Gathsmine aifunga
kuti anobudirira apa ainge airasa manje apa this time
takamurongera Hondo kana iye akashamisika
ndichikunda mudare ndakazorohwa nedhondoro
raGwinimbi asi handina kukuvara zvakanyanya
pakamboda kuitika mvonga mupopoto vanhu vachida
kupikisana nemutongo asi ndakakunda
zvakashamisa vavengi vaindirwisa.

Asi hondo yavapana Dickson ndikasachenjerera


Dickson angandiendesa kwaakaendesa Mukoma uye
chakanyanyakuitika Ini ndini ndakapa Dickson
mushonga wakauraya Mukoma Jeisa akandiudza
nezvenyaya yepurazi makombi amukoma akanzi
Glory to Glory ndini ndakamatora ndikamusira mota
nemba pamwe nebusiness reBoutique iri muHarare
asi paakaura nyaya,yekuti anoda kurima mbatatisi
mudumbu mangu makarira "Mukoma Gathsmine
tahwina nyaya uye mapurisa aenda kundopisa
Gwinimbi kuGoromonzi saka nhasi ngatitei mabiko
musati maenda kwaMutoko nekuti takunda."

"Hapana kuipa munun'una Party ngaitotsva."


takaita party kumba kuMandara asi chikafu
chepapati ndakarega kuchidya Rice ndakanoripa
imbwa inonzi Fox idye imbwa yakadya ichipedza
ndakaona yakuumburuka nenguva doko yakabva yafa
ndakabva ndaziva kuti chero Hondo yatakunda
kudare yapera asi Hondo yemunda iyi yanga
yakundiuraisa.

Mupfanha wangu anga akanditeya ndakanodzorera


ndiro zvangu ndokubva ndaenda kumotokari
ndikawana yakabaiwa mataya ese akabvarurwa
bvarurwa ndakanyatsokuona kuti apa ndikaita
zvekutamba Dickson akuda kundiuraya ndakatiza
Manheru ndakazoona mikweshwa yavarume
ichitevera ndipo pandakamhanya ndichijamba fence
inemagetsi ndakamhanya ndikandosviko kwira
kombi yaiti Town ndakafonera mudzimai wangu auye
kuzonditora ndiende kumba.

"Kwakanaka here yenyu iripi."

"Kumba kwa Dickson Hondo Amai mwana."


*Dickson*

Ndakafara kukunda Makanaka Mari yangu


yakashanda apa asi chakandirwadza Mukoma
Gathsmine vakauya asi kana nemari yavakaburitsa
zvayo vakauya neford ranger ivo vanoti makombi
akanzi Glory to Glory vanawo purazi matractor
mashanu kana kuuya nemari ini ndini ndoita boy
ravo,ndakabva ndati "Mukoma ngatiitei Party tifarire
kukunda Makanaka navana Gwinimbi misodzi
yakabuda Makanaka yakandifadza kuti dai akabvuma
chipare ndaiswera ndichiinanzva manje ada kuita
zvehutsinye kundiendesa mudare mwana wake
andirova nedhondoro ndakapa mapurisa kuti
vamunyangaritse zvamuchose Gwinimbi Gundani
haazoswere achindinetsa.
ndakadeedza varume vanouraya apa ndaive neNduru
yengwena yandakapuhwa naSekuru Bhasikiti ndiyo
yandakapawo Amai Jakobho vaibika vakaisa
mihikafu chaMukoma Gathsmine ndakatuma
mushandi wangu Susan kuendesa chikafu panze
paitandara Mukoma ndakaenda mumba ndikatanga
kuverenga hangu,Mari yeBoutique yaisvika 20
thousand Usdollar ndakanyatsokufara ndakazobuda
panze ndikaenda,kunoona kuti Shasha yafa here
ndakaona payainge igere isipo ndakatevera kuseri
ndakaona imbwa yangu Fox yakafa ndakatarira
ndikaona nyama neRice "Kuuraya imbwa yangu."
ndakafonera Chesa Na Chiwara Ndikati "Attack
maJapanese."

Vakomana vakaenda kunobaya mataya EFord Ranger


zvehutsinye Hondo dzese ndaiona paCctv Mukoma
vakatiza ndakabva ndafonera veAngel Vanodhonza
motikari ndikati huyai mudhonze Ford ranger irikuno
ndakabva ndati iisiwe mumugwagwa ndakabva
ndavhura tanki racho ndikavesera machisa mukati
ikatanga kubvira ndikatora video ndikati
kunamukoma "Nyaya yemunda honai kwasvika
zvinhu maiti makangwara ndikuuya ikoko
kwaMutoko kana mukafurirwa maravairiswa
sumbunyu namadam motanga kuramba this time
muchaona kushata kwaDickson Gwinimbi
arikunyikadzimu chaiko moteverawo."

Ndakakanda pa App ndokubva yaenda.

"Dickson mwana waMai vangu kuda kundi....."

CHAPTER 9
"Dickson mwana wa Mai vangu kuda kundiuraya
shuwa takaita tese dhitande rekupfuudza Mukoma
kuti tiite hupenyu unotapira sehuchi hwegonera asi
ndiwe nhasi uno waida ndife haa bhoo
zvekuti,wapisa Ford Ranger haisi nyaya uye ine
Insurance ndopihwa imwe."

Ndakaiverenga hangu message ndikaseka zvangu


manje hondo yedu ichapera mumwe azvimbirwa
nenyemba nekuti munda ndiwo unemari zhinji munda
ndikuuda,maTractor ose anaGathsmine ndakaresva
uye ndiye akandipa mushonga ndiye akatouya
nepfungwa dzekuti tipidigure mukoma,manje apa
akundinyima purazi ndongorima kamwe why
Gathsmine achifurirwa nemukadzi wake asingagoni
kupfeka anopfeka kunge muGum Tree noo."

Ndakadaidza Amai Jakobho ndokuvati.


"Amai mwana Gathsmine apukunyuka haa apa
zvazodhakwa manje ndaida afe mhani ndini
ndakairasa pakugadzira Will munhu haavimbike
mhani."

"Babamwana apa motokumbira ruregerero moedza


kuumbiridza ukama naMukoma wenyu ini handioni
kuurayana kuine chakanaka wiriranai masara muri
vaviri kudai, Baba Jakobho kana mada zvemunda
tondotsvaka kuBeatrice uko."

"Iwe kwana ndikuda munda waMukoma unezvese


mari yangu iende mahara ndikuda uyu une
maturakita pamwe neEngine yekudiridzisa mhani."

"Iiii Baba Jakobho ndageza maoko kana makuramba


muchivavarira chinhu kunge muroyi."
Ndakapotsa Charmaine nembama chaiyo
akainzvenga ndokubva ati.

"Ko zvamava kuda kundirova handisi Gathsmine ini."

Ndakafonera mapurisa andainge ndapa basa rekuti


auraye Gwinimbi vakati "Tirikupisa mutumbi wake
izvezvi."

"Ok kana asina kufa chete Gwinimbi muchaona


mabasa angu ini Dickson."

Munguva iyi nemari yamukoma ndaive ndavakuita


zvekuti ndiite Chi (CIO) chaicho
ndinyatsokupedzerana naMukoma Gathsmine ava
ndikuda kuvabaya panyama nhete apa vakatsvedza
semuramba.
Ndakatanga kutenderera imba yaMukoma ndakaenda
paBalcony padenga ndikatanga kuzvirova chipfuva
ndichiti "Ndirimuhombe Ndavakuita zidumbu
nenguva doko Gwinimbi akuita rombe renyika achati
adii zvake ini ndapinda nemhuri yangu mamwe
makamuri aitoda kuiswa zvinhu mashanu koti
manomwe aripasi ndakudya mafuta akashandiwa
naMukoma ndakanzwa nhare kurira ndakaburitsa
muhombodo ndokuona nhamba dzaAmai dzichifona
ndakabva ndadaira.

"Amai makadii."?

"Dickson urisei mwanangu."?

"Ndakasimba Amai hameno imi."

"Handina kusimba wakatii ukutadza


kushandisa ,maoko ako iwewe naMukoma vako iwe
Mari yemaroja maiba, izvezvi Gwinimbi akuyaura
mune moyo wakadii vana vangu shuwa makatofarira
kufa kwaJeisa imi Dickson unechokwadi here
mwana wangu".
Amai vainge vavakuchema panhare ini ndainge
ndakateya zvangu mazhewe."

"Amai mukachema hazvichashandi Makanaka atori


nemaCards ekubanka saka ndikutoda kumuvhima."

"Dickson Dickson."

Ndakadimbura runhare rwaAmai rwaisembura


ndakafonera Jonathan anenge achaira nhare yaMai
kuti vataure neni akabva adaira zvake anenge aive
panzvimbo paChiweshe paGrowth Point.

"Jonathan ukapota uchiita muchembere


achindifonera zivai kuti mwedzi uno mari yerent
yekuMufakose ndoitora ndikaimwisa hwahwa
ukunzwa here unofamba nemabhurukwa
anezvigamba,ukuzvinzwa here.?

"Ndikuzvinzwa Mukoma handichadero zvakare vanga


vachiyondirova netsvimbo ndichizama kuramba."

"Zvipamhei zvakare muchaona hunhu hwangu."

Zvakandibhowa ndakadimbura nhare yangu ndikuda


kuvapfidzisa ndonopa maroja ese notice ndoisa
angu ndodya mari iyoyo ndoiita yehwahwa.

*Clemence*

Ndakati ndichisvika kumba ndakaona hangu Beauty


ari kwindi kana kundimhoresa haana zvake
ndakatanga kufunga mwana waDorcas aive anditi
Dady ndakatanga kuona kuchinja kwaita wangu
mukadzi atandavara serunyemba ticharoorana
aindibvisa bhachi pamwe neshangu uye ainditorera
tauro toenda kundogeza mushawa taita bonde ,
pazuva taiita bonde katatu pazuva asi ikozvino
ndavakuriwana kamwe pasvondo kunge bhachura
ravharira here ndakamudaidza mudzimai wangu.

"Beauty mukadzi wangu kana waona kuti zvebonde


hauchakwanise nditaurire nditsvake hangu mumwe
mudzimai anoita zvido zvangu kunyanya ini ndoda
kuita newe bonde katatu pazuva,pano hauna kuvinga
Sadza wakavinga mukomana arimubhurukwa umu
kana waona hauchakwanisi taurai Amai Cathy."

"Clemence ukaita kunge pwere kaa unozviruza


dzikama mazuwano miviri yangu ikugara yakaneta iyi
ndipewo nguva."
"Hooo"

Ndakadero zvangu.

Muzuva rakatevera ndakasvikowona mattres iri


mubhedhuru mangu ndakadaidza Beauty ndokubva
ndati "Ko Mattress ikutsvagei muno."

"Ndaitorera ana Gwinimbi."

Ndakabva ndasanganidzana nemagumbezi.

"Ko Magumbezi avo akudei kuno."

"Amai vangu havana chekufuka kumusha mattres


yavo yanzwa neweti yemakonzo."
Handina chandakadaira ndakaenda kukamuri yavana
Gwinimbi ndikaona heyo vakafuka ano mazigumbezi.

Ndakadzokera hangu mumba ndokubva ndada


kusimudza mattres iya ndokubva zvanzi.

"Clemence ukabuda nemattres yandikuda kukwidza


bhazi mangwana iyende Hwedza chete Bonde
handimbokupe unobva wabva pano."

Ndakamutarisa hangu Beauty zvangu kumeso


mukadzi asina ganda kumeso uyu nhai.

Ndakaenda hangu panze ndichifurwa naMhepo


ndakanyatsokudzamisa pfungwa ndikaona kuti
Beauty mukadzi akapusa asingadi tigadzirise nyaya
ikunetsa nyaya yebonde iyi nekuti ndinoridisa
samare ndichifurwa nemhepo ndiyo nguva yakazouya
Makanaka ndakabva ndamutarira chiso ndikati.
"Sisi murisei nezuro hatina kuonana zvakafambasei
kudare uku hamuna kutiudza kuti Zvakafambaseiko
kwamakaenda zvakafamba zvakanaka here.?"

"Bhudhi vatongi vacho vakabhadhariwa Dare risati


rambotanga ndakaedzawo kuti zvimweni
ndichanzwikwa asi vanaBabamunini ndivo
vakakunda umwe wamapurisa akatozoda kuridza
pfuti vanhu, vakuda kutiza mudare bhudhi
ndikurwadziwa kuti ndorarama sei nemajaya angu
awa dai Gwinimbi awanawo basa zvingarerutse
mutoro tarirai Amaiguru havasi kutifarira."

"Eeh Makanaka uri mwana waAmai vangu


handingakusiye uchiyaura ndiripo bhudhi wako ziva
kuti blood is thicker than water my sister,shinga
Makanaka Beauty haana basa."

"Bhudhi kana iii."

"Shinga mwana waAmai."


Makanaka akabva aenda kundovata ndiyo nguva
yakarira mbozha nhare yangu.

Ndakatarira nhamba zvaaive Dorcas.

"Hesikani Dorcas urisei."?

" Ini ndirimutano hangu Hangu wafambasei."?

"Ndafamba zvakanaka ini."

"Dorcas mugovera ukuitei hako."

"Ndinenge ndichiendesa mwana kwaaMhamha."

"Ok asi ndaidawo kumbovawo nenguva newe Dorcas


ndimbohwa kazwi kako katete kanondinyerekedza
nzeve dzangu."

"Umu shuwa here Clemence."

"Yes saka haundipiwo nguva here."

"Toenda kupiko nhai."?

"KuHarare Sports Club Zimbabwe ikutamba neIndia


mutambo weCricket ndichatenga hangu matikiti
emaVip ndokupa,kubasa Mangwana."

"Pakanaka."
Ndakadimbura nhare ndokubva ndaenda mumba
ndakasvika mumba ndakaona Beauty achipfodora
hope apawo ndaive ndichinzwa kuda bonde
ndakaramba ndakamuyeva mukadzi wangu uyu dai
aiziva kuti ndakakoka gidi angadai akamuka zvake
hake.

Ndakapinda mumachira wanei munhu akapfeka


zvake ndakabva ndangozvinetera hangu hope
hadzina kuzombouya ndakufunga hangu zverwendo
rwangu naDorcas uyu wandinoshanda naye
ushamwari wangu ini naye iii wavakuita kunge
wemukombe nechirongo mazuwano vazhinji
vepabasa vavakutiitira shanje asi hazvishande izvi
hope dzakazondiba ndakazomutswa naAmai vaCathy
ndikaenda kubasa hangu nguva yeLunch ndakatenga
matikiti emutambo, weCricket uyu,ndakatanga
kufunga kuti kare Beauty ndaiienda naye kumutambo
uyu asi mazuwano akungogara ari kwindi kunge
muroyi kufara kwake mudzimai wangu kwava
kushoma.

*Cathy*

Ndakapuhwa Magumbezi naMeena ndikaenda nawo


kumba ndakasvika paghedhi ndokubva ndamuchaira
runhare.

"Meena ndotii panyaya yemagumbezi ndomuudza


kuti abva kunewe here magumbezi awa."

"Kwete ndaramba unoti ndakutengerai vana vangu iii


usafe wakazviti bufu Mwari vanekutenda
kwavachaita kwandiri."

"Ok Meena regei ndiite sekutaura


kwako,Meena,ndapamba."
Ndakaenda kubhedhuru kwaGwinimbi sezvo ainge
ave mauro ndakasvika akafuka kaZambia akagara
akabata shaya ndakabva ndati.

"Mwana magumbezi aya fugai naGundani uyu."

"Abvepi Mhamha."?

"Ndakutengerai."

"Mhamha Mwari akukomborerei Amai."

"No Problem Mhamha iii Tanga tavekufa nechando


kuvepo kwenyu kwayamura iii maita dai akasatorwa
naAmbuya."

"Havatore ndiripo makuseni ndichabuda."


Ndakazomutswa nekurira kweAlarm ndakatanga
kusuka ndiro pamwe nekusuka mapoto rungwanani.

*Gwinimbi*

Kuva mwana wedangwe kwakangooma shuwa


nhamo neman'a murimese nakatsande magumbezi
ainge atorewa zvese nematress kutowaridza bonde
ndiko kunemusoro.

Ndakadya kudya kwamanheru kwainge kwabikwa


naAmai Ambuya Beauty vaizvibudira kundotenga
havo chikafu chepama Canteen chinobikiwa naAmai
vaisambodya kana kabodzi zvako.
Ndakapfeka zvinodziya asi chando chainge
chakandigara matunduru pasi,pano pane vanhu
vanehutsinye kunyanya Ambuya Beauty na
Babamunini Dickson, Gathsmine vanhu ava
vanemoyo wakaipa usina kana netsitsi zvawo ungati
kaZambia kandainge ndakazvipfukidza ndinodziirwa
uyuwo Gwinimbi ainge aenda kundowona bhora re
Real Madrid ne Barcelona sezvo uriiwo mutambo
waanofarira ndakazoonzwa kutaura ndikazoona vari
Amainini Catherine vainge vapinda mukamuri ini
hope dzainge dzondibawo ndakabata rushaya
kurikufunga remangwana.

"Ndeip Gwinimbi ndakuvigira magumbezi."

"Ndeedu naGundani.?"

"Yes,ndakutengerai mese naGundani ndawona


mungafe nechando vanangu."
"Ndakatenda weduwe iii ukaitirwa chakanaka
haungafariwo here.

Ndakafara makuseni ndipo pavakati vaibuda


Amainini vakuda kumbonotsvaka basa.

Ndakamuka ndiyo nguva yakapinda Ambuya


vachibva vati "Gwinimbi na Gundani changa chirisei
chando chadai kunaya panze nhasi munenge
matonhorwa chete."

"Aaah magumbezi makamawana kupi? awa huh


magumbezi."

" Makamawana kupi imi nherera kunyanya iwewe


ziGwinimbi ziRovha wakanditarisa."

"Tatenga."

"Asi Jeisa amuka chipoko akauya naro nemumhepo


Kasi magumbezi aya pano handimadi hangu."

"Atadzeiko."?
"Ukutoda kundipindura mukai muite basa izvezvi
nhasi munoswera nayo nzara."

Takaita chipatapata kuenda kundobata mutsvairo asi


ini gumbo manje haa pakaipa ndiyo nguva yakabuda
Ambuya Beauty nemagumbezi edu vachienda navo
mubhedhuru mavo, ndakazoona vavakudzosera
amwe akabooka mumba.

"Chi Ambuya chine hutsinye zvacho ichi hachidi


kuona tichifara haa moyo wacho iii surrender."

"Makundinyeya vana Nherera manje muchafuka ayo


atakaisa pasi pemubhedha wedu wadai kuita tsime
ndatora enyu anodziya ndini Amai Vepano."
Nherera yasarira nhamo chokwadi dai Baba vasina
kufa zvese izvi taisasangana nazvo izvezvi
Babamunini vakutoti ndakafa ndirimupenyu zvangu
haa ini havandiuraye Mwari vanondida "maCards e
kuBanka aBaba haachina Mari mari yacho ndiyo
yakabiwa naDickson yaiiswa mubhachi."

Murume uya anehutsinye usingaite Jehovha inzwai


kuchema kwedu isu vana Gwinimbi dai matipowo iyo
mweya yekudanana pachokwadi zvekuitirana
hutsinye bodo hazvishande mukore uno ndazviramba.

" Vana vaJeisa mazora paChiChina nhasi no Food


kana zvanetsa moenda kundopuhwa kuChishawasha,
kurere Baba venyu kuzorai rudzii Veranda yangu
muchisiya apa pasina kunama Cobra kunyanya iwe
Gwinimbi ukunyepera kurwadziwa,zvenhema."

"Ambuya Cobra ndiyo......"


CHAPTER 10

"Ambuya Cobra ndiyoshoma ndosaka tajamba


pamwe."

"Wadiii kutaura zinherera woti kunhuwa mukanwa


kunge makafira katsi chironda chikunhuwa kasira
kutora madhondoro iwaya unotenga iwe Gundani
Sara uchimirira iwome ndikuda kuona Veranda
ravakupenya sengoda."

'' Ambuya Gwinimbi haasati anyatsosimba uyu ndipei


ndimhanye ini."

Akadero Gundani asi Ambuya vake vakabva vati.


"Ngaaite maExercise akagara akadai hazvishande
kasira Gwinimbi ukanonoka sekamba Sadza
rinopera."

"Makanaka mona Sadza izvezvi kurumidza."

"Nhai Amaiguru ndiri Tete kaini munofanirwawo


kundiremekedzawo mukaita semuri kutaura
naGundani hazvina kunaka."

"Ukuda kunzi Tete makonzo angu ndiwo achakuti


Tete uriMakanaka ndizvo zvakanyorwa pachitupa
saka enda unofa saJeisa."
Sadza rakabikwa chimbi chimbi ndokubva ivo
vapakurirwa Sadza riye vakati "Makanaka
wakamboona ndichidya zvisadza zvaunobika here
iwe huh ndotenga Sadza kwete mbwiti dzaunobika
ndotenga chikafu changu maTm kwete chako
chinoita semasadza anobikwa nana Mai Tineyi
vanobika kumagaba kuMbare uko vanehutsvina
wekudzorera nyama yarumwa nevamwe mupoto."

Nguva iyi Gwinimbi aive asati adzoka zvake kubva


kuCobra hake akazouya neCobra Ambuya Beauty
ndokubva vasimuka vakamutarisa neziso "Gwinimbi
watova murume mukuru pauri ukanzi ita Chinhu
nenguva ita nguva nhasi Sadza unoridya manheru."

Ambuya Beauty vakasimuka ndokubva vatora Sadza


raGwinimbi mubin akatarisa zvese nenyama yehuku
yaivemo mundiro imomo izvi zvakarwadza Amai
vacho vakabudisa misodzi mumaziso.

"Anongopa Gwinimbi musuwa weSadza chete


ndokanda nhumbi dzenyu mose kunze kweGedhi
imba inoyi ndeyangu nemurume wangu ndonzi
Beauty ini zvibhakera ndinokanda hauna
zvaunondiudza ini."

Ndiyo nguva yakasvika Cathy achibva mudhorobha


akakwazisa Amai vake ndokubva varamba vari
kwindi haana kuita hanya nazvo hake sezvo aive
oziva hunhu hwa Amai vake kuti
hunongochinja ,chinja semamiriro ekunze ekuti
kunokwidibira kopisa ndiwo hunhu,hwa Amai
Chidzero uhwu.
Ndiyo nguva yakazouya mufundisi Kamba vanova
mufundisi wekereke yavo Salvation Army Amai
Chidzero vakabva vaenda kundobika vegani chikafu
chapamusoro vakasvikopfugamira mufundisi vachiita
tsika "Amai Elder ndimi mudzimai mubodzi
anetsika,uye akarairirwa zvapasi chigare
chaizvo,Amai Mufundisi vanokuyemurai."

"Shuwa here Baba."?

Makanaka akashamisika kuonawo Beauty achitaura


akatsiga iwo hunhu uye zvinhu zvaaiona izvi aive
asati ambozviona zvichiitirwa bhudhi vake Clemence
kana ripi zuva zvaro,ndiro nditsva ndidzo dzaidyiriwa
naMufundisi Kamba pakazoguta Mufundisi vakaisa
munyengetero Makanaka haana kutsinzinawo Beauty
akabva angovhurawo maziso ndokubva apa,masign
kuna Makanaka ekuti "Ugobvisa Ndiro munyengetero
kana uchinge wapera."

Makanaka akagutsurira musoro pakazonzi Amen


Mufundisi Kamba vakabva vatoti "vavakubuda
kuenda kuchechi sezvowo mudzimai arikuChipatara
kwaari kuda kupona kaCheche."

"Nemakorokoto Baba Mirai ndikupei monopa Amai


Makorokoto."
Ambuya Beauty vakamhanya mubhedhuru kundotora
gumbezi ndokubva vasvika vakatambidza Mufundisi.

Gwinimbi akakanuka achiona gumbezi rakatengewa


na Mainini Cathy richipuhwa Mufundisi.

Ipapowo Mufundisi vakada kuriramba asi vakaramba


vachimanikidziwa kusvika vazotambira gumbezi,riya
ndokubva vaisa munyengetero.

"Mwari Baba komborerai patapudzwa naAmai


Chidzero uye komborerai majaya nemhandara
arimukati meimba ino Jehovha simudzirai wese
anezvishuwo zvemoyo uye anoda kuenda mberi
Jehovha,vakomborerei Jehovha Amen."

Mufundisi akabva apinda mumota achikanda gumbezi


kuBack seat.

Chaiko uku izvi zvakasara zvichirwadza Makanaka,


Cathrine naGundani,Gwinimbi vainge vaisa muromo
mumhino Catherine akazotora ndiro dziya akaenda
kundosuka hake achiimba rwiyo rwekuti

( "Nguva dzose makatendeka Jesux2 kunherera


makatendeka Every day and every hour you are
faithful ooh lord.x2 ")

"Iwe nyarara suka ndiro wakati mwiro chitodzisiya


dzipedziswe naMakanaka Chirikadzi isina murume
iyi."
"No Mhamha ndisiyei ndisuke Tete ngavazo..."

Cathy akairegedzerwa mbama yekuseri kweruoko


naAmai vake.

"Ndakakugomera wanzwa teerera zvandokuudza ini


Amai vako ukaona zvanetsa panopera mwedzi unowu
ndokupa Mari udzokere kuSouth Africa kouya umwe
wevanun'una wako wakuda kunditaridza kuti wava
nemazamu makuru kudarika angu Mai vako huh."
Cathy akaramba achisuka chete ndiro dzake haana
kuda kudziregedza zvake akaramba aribusy
nezvaaita hake,achipedza akaona text message
kubva kuna Meena yaiti "Uriko,here kumba Be......"

Zuva re Mugovera rakasvika ndakafumira kumutsa


Beauty wangu mudzimai wangu.

"Honey ndi ainirowo hembe dzangu ndandikuda


kupfeka."
"Iwe Clemence hauna maoko here iwe
ndakazvinetera uye Chando zvionere shamwari."

Muromo hauna kundifadza zvawo uwu ndozvinhu


zvandakabvisira danga zvava kundipa matambudziko
akadai bonde ndiri kunyimwa ndikugara maziso
akatsvuka seerovambira mukadzi achindinyima
kudya kwemadeko uku chimutsa nemagadziko
ndochinzwawo nevamwe kubasa asi kumba kwangu
zvavakuita sendakaroora Sekuru Ndunge here haaa
kwete Baba.

Ndakasimuka ndikazvi ainira hembe dzangu ndaka


aina dzandichazondopfeka ndaku Cricket na Dokkie
zvee musi uyu ndaive ndauya nemotikari yakubasa
zve Nissan Np 200 zvee ndakaimutsa ndokubva
ndaenda kubasa zibenzi remukadzi ndakarioneka
harina kudaira ndakabva,ndarova pasi zvangu ndinga
garirei zvangu ndakasvika kubasa ndikashanda
zvinodadisa saMare sezvo taikasika kupedza
mugovera uyu mutambo wedu wainge watangawo
hawo takabva tatanga kuchairana runhare ndini
ndakafona zvee.

"Eehh uripi nhai Dorcas."

Musi uyu aivewo pa Off Dorcas akabva ati arikuna


Samora ndakabva ndamuti

"Huya tisangane kuHarare Sports Club."

"Handina mota nhasi huya unditore."

Ndakabva ndananga kunaSamora kwaainge


andirairidza zvee.
Ndakasvikowona hezvo ari muGolf T Shirt hei kozoti
Skin Jean mudhebhe zvee bhutsu Just do it
ndakangotiwo nechemumoyo Just do it Clemence
apa ndakabva ndaburuka zvee apa ndini uyo
kunaDorcas akada kuunza maoko asi ndainge
ndavhura kare maoko ndini mbunde hangaiwa
takatora chinguva takadaro ndokubva
ndanomuvhurira mother's seat zvee kaa kuHoster
ndakatyaira motokari kusvika tasvika kuHarare
Sports Club ndakabuditsa matikiti edu tiri vaviri
ndisu pfacha kuVip zvangu ndakabva ndati "Ko
wasiirei mwana nhai Dorcas."

"Aaah ndanga ndichidawo nguva newe kuno aizo


tikanganisa,nhai."

"Iiii iwewe soo takabva tagara hedu ndakabva


ndangokochekera hangu iye Dorcas ruoko rwake
rwaidziya kunge huku maoko achokupfava kunge
donje chaiko Taitaura hedu nyaya dzakasiyana
siyana ndakabva ndati kuna Dokkie "Sei uchindifarira
Soo."

"Clemie watanga kubasa handidi kukushaya


ndotongoda kukuona so nhasi wagona mhani
kukuuya neni kuno iii l miss this."

Ndakabva ndati "Hoo nhai ipapowo ndaive ndonzwa


kuti uku ndiko kufara zvee ndakabva ndatanga
kuunza muromo wangu pedyo newa Dorcas
ndakabva ndamira ndakuda kusvika hangu maziso
angu apa anenge aiva atsvuka chete ndakaona
Dokkie anditarisa kumeso ndokubva ati
"Ndakutonhorwa Clemie handei kumba kani."
" am enjoying the match hona zvakuita Cremer
akurova Century Dokkie nhasi Zim yatamba ndiyo
nguva yakarovha zi 6 rakasvikorova Dokkie
pamikaka yake Cremer anodenha nhai ndakatarisa
kuScreen ndikaona tisu taibuda apo ndichipuruzira
mikaka zvee.

"Hauna kukuvara here nhai Dokkie huh hauna


kukuvara here."

Ndaive ndakapfekawo mashades zvee takapfeka


hembe dzakanaka hedu Cricket yakazopera
ndokubva ndati "Ndakuda kukusiya mudhorobha."
"Handei kumba Clemence unditove parohwa nebhora
ndikurwadziwa."

Asi Dokkie ndomutova zamu rake manje haaoniwo


kuti ndiri married Man atove nemwana akuda
kuroorewa Cathrine iiii Dokkie hunhu hwake akuda
kudii ndaive ndozvibvunza pachangu paya ndanga
ndavakumunama neKiss Dorcas uyu handichaoni
tichizova mashamwari apa ndaive ndofunga
zvekutiza kumba kwake ndombonozama
kunonyengerera Beauty andipewo bonde ndagarisa
weduwe.

Svondo rotokwana ndisingazive mukadzi here.


Ndakaenda naDorcas kuHighlands ndokubva ndati
"Ndakudzokera."

"Clemence ndoda ugeze undonhuwidza Amaiguru


kumba noo pinda mubath ndaisa bubble bath
kasika."

Ndakapinda mubath ndokubva ndapinda mutub mu


bubble bath ndichiri kugeza kudero ndakaona kunge
wakuvhurwa ndakamboti asi ndiri kurota Kasi
ndakabva ndasveerera tauro kuda kuzvivhara
ndakaona ari Dokkie apindawo nerake tauro.

"Ndikuda kugezewo Clemence swedera uko."


Ndakaramba ndakayeva izvi zvaikunda ngoma kurira
regei nditi mwiro.

*Dickson*

Sezvowo mazuva ekupera kwemwedzi aive


avakuswedera pedyo ndakabva ndafunga
zvekuendera maroja ekumba kwa Amai kuMufakose
ndakabuda ndisina kuudza Amai Jakobho ndakaona
vachizopikisa pfungwa dzangu idzi dzekuti ndiende
kumba kwa Amai ndakafumira kuenda kumba kwa
Amai ndakasvika ndokubva ndapinda mukamuri
randaigara ndakasvika ndokubva ndapindamo
ndichida kuridza mumhanzi magetsi aive asimo
ndakazodaidza maroja ose kuti ataure akaita zvivindi
zvekudimbura tambo.

''Ndiyani akadimbura tambo yemuno mumba iyeye."?

"NdiBaba Fortunate vakadimbura tambo iyoyo vaona


kuti magetsi acho akungojusirwa mahara kwenyu."
"Makapuhwa mvumo nani yekuita izvozvo imi muri
roja panopamba chenyu kuenda kuchimbuzi
nekugara kana mabhadhara zvese zviri pano michero
hamufanirwi kuidya haisi yenyu zvee."

"Uye chandauyira pano imari yeRent Amai


vakandifonera zuro kuti mundipe ini
BabavaJakobho."

"Iiii havana kudero Amai ava regei tifone tibvunze


kana chiri chokwadi."
Amai Magwiti vakabva vafona panhamba dzenhare
dziya

"Your dialled number will not receive calls at the


moment please try later."

Maroja ese akabva atora Mari dzavo dze Rent


ndokutambidza Dickson akarova nyemwerero kunge
aona kisimusi pakati pegore Dickson akazooneka
maroja achienda kundomutsa motokari yake
akananga kubhawa re Paramount Signature akasvika
ndokubva atenga hutsvuku badzi akatanga
kugochesa nyama kuvakomana vanogocha nguva
dzakazoenda ndokubva aenda hake kumba akaita
kubatwa nemupeta akavata zvekutoda kusanduriwa
nedanda chairo Dickson akazomuka kunze kwaedza
mukadzi wake aive aenda kwa Murehwa kundotenga
chibage.
Akatarisa mbozha nhare yake iiine ma missed calls
pamwe nema message imwe ichibva kuna Mukoma
Gathsmine.

"Munun'una hona,tasara tiri vashoma dai tabatana


sevana vaNyamunhu tambowiriranawo vana vedu
vanodzidzeiko."

"Mukoma kana mada kuwirirana neni ndipeiwo


chidimbu chemunda ndirime mbatatisi dzanguwo
chete Mukoma."
"Kana zviri zvemunda enda unofa zvakaita Mukoma
Jeisa ndokupirei Munda zvese unazvo imba unayo
Boutique unayo Filling Station kuMasasa pedzisawo
kwete kupedzera kumajoki mari ini handina
kuzvisevenzesa asi ukaona purazi rangu unoti pane
murungu svondo rinouya maturakita maviri akubva
ku Belgium."

"Mukoma vhairai henyu asi tichabatana


pakuyambuka hedu makajaidzwa mhani."

Iyi haina kuzodeirwa ndipo pandakada kusimuka asi


bhabharasi zvarinoitawo Soo ndakabva ndaona foni
yorira kutarira mufoni ndiAmai haa apa hana yainge
yorova zvino ndakazozvishingisa kuda kudaira kepiri
sezvowo kekutanga ndaka ignore nhare "Hello
Amai."

"Putseki Dickson Mari yemaroja iripi yawa....."

CHAPTER 11

"Mari yemaroja iripi Dickson,watorerei Mari yeimba


yangu."?
"Mom's learn to mind your own business
maigopindirirei nyaya yepfuma yamukoma Mukoma
vakashandira isu."

"Dickson Dickson ukuziva wauri kutaura naye here."?

"Eeeh Amai vangu zvee mukuti,mumwe ndiyani zvee


imi Amai mari yenyu yemaroja ndikuinwisa hwahwa."

"Uchava rombe remakoko nekushaya rukudzo


kuvabereki."
"Zviroto izvozvo Dickson kumberi sezimhuno renyu
reChibhoyi Amai."

Nhare yakabva yadimburwa na Amai vacho


vainehasha vakatanga kudemba demba "Jeisa ndiye
mwana kwaye Gathsmine na Dickson moyo yavo
fanane hutsinye kunge vana va Herodhi kudaro
shuwa vana ava vaneshanje zhinjisa,kutora pfuma
yaJeisa vogovana koGwinimbi orarama neiko Mari
yemaroja ndiyo yaakuti akunwisa hwahwa "Mwari
honaiwo kumwe kubereka uku chokwadi iii uku
kuzvarira ngozi chaiyo."

Ambuya Chinoura vaive vodemba demba


vachisvimha misodzi chembere iyi yainge yofunga
igere pasi ndokubva yati.
"Jonathan ndoda tifonere Makanaka muroora wangu
haana Chitema ndoda tindomuona kupera
kwesvondo rino ndoda kumuudza zvekuita pfuma
yaakashanda yodyiwa nana Gathsmine iye otadza
kudya zvaakashandira nemurume wake why achida
kuita vakadzi vanhu veshure dai zvikaita
zviamarombe Gathsmine naDickson havabetseri.

Ambuya vainge vaita kugumbuka chaiko nekuda


kwenyaya yepfuma yakatorerwa muroora
nevanakomana vavo vakanyatsokuona kuti izvi
zvinemunhu pasi vanakomana ava vasanduka
something fishy is going on.

*Gwinimbi*
Gumbezi rakapuhwa Mufundisi Ambuya Soo vakaoma
wena takavata takafuga zvakabvaruka bvaruka musi
wemugovera ndakanzwa Ambuya Beauty
vachirambira kuainira Sekuru hembe ndakatoona
kuti imba yaSekuru chasara denga kuwira mukati
memba chaimo pachokwadi Ambuya moyo
havatorina zvamuchose taiti tisu
zvee,ndaitombofunga kuti zvimwe vave nenhumbu
asi kana uyu hutsinye badzi waAmbuya zuva iri ndiro
zuva rakatambwa mutambo weCricket Sekuru
vakaenda vegani havo musi uyu ndakaitawo shungu
dzekuda kuonawo kuti Zimbabwe ingakunde India
here,pamutambo uwu haa ndakaigarira Cricket
pakazopinda Cremer haa zvainge zvonakidza zvee
ndipo paakarova rimwe bhora rakarova mukadzi
Zamu ndakatarisa ndokuona chiso chaSekuru
Clemence ndakati ndikurota here ndikaona
vavekubata pamikaka parohwa Baby Camera
yakabva yabviswa ipapo Ambuya Beauty vakange
vakamira pamusuwo ndokubva vati.
"Nherera ukutopombonokera Tv yandaksevenza
nemurume wangu enda panze undowacha
magumbezi nhasi ndikuda umatsike negumbo
rakazvimba Gwinimbi."

*"Ambuya gumbo rangu ririkubuda hurwa iri dai


mandiendesawo kuChipatara ndakumbirawo."

"Mwana iwe unenungo nekuti ndataura zvekuti


utsike tsike gumbezi nhasi hurwa ihwohwo uri
pagumbo uchahusevesa sadza wakatunidzwa iwe."
Ndakaramba ndiri mwiro ndakufunga zvandaona
paChivhiti vhiti saka ichokwadi kaa Sekuru Clemie
vane Side Chick kaa Haa zvitorinani vakadaro nekuti
Beauty anorwadza sechironda chemumhuno mhani
Mbuya handifi ndakaiudza nezvazvo inga zopise
Sekuru Clemence nemafuta uye idzi hadzisi nyaya
dzangu baa dzekuti ndipindire.

Ndakazoenda kunotsika magumbezi iwayaa zvee


nechironda Gundani aive aenda kuMbare naAmai
ndakabhowekana mhani Saturday yese ndakaitamba
ndichirwadziwa ndakati ndapedza Ndakunzwa
marwadzo egumbo ndipo pakauya Amainini Cathrine
na Meena zvee vakapinda mumba Meena ndokubva
asara panze ndokubva ati "Hesi Gwinimbi urisei."

"Ini ndiribho hangu gumbo."


"Rikuitasei nhai Gwinimbi."

"Vhura uone."

"Jesus Christ Gwinimbi unoora nehurwa uhwu


Cathrine uya nemedic Kit."

"Ko indava nhai Gwinimbi asi waita mabasa


atsimbirira chironda."
"Ndatsikiswa magumbezi naAmbuya."

"Oo shame ."

"Meena unoziva kuti moyo wangu unokurwarira here


Meena ivawo wangu musikana please."

Ndakaona Meena avekusagona kunditarisa wena


mwanasikana uyu akabva abuditsa musodzi
akufemera padenga.
" Ko ukuchemeiko nhai Meena."

"Zvawataura Gwinimbi,mashoko ako andidzamira ini


iii why kuda ini nhai Gwinimbi ini.?"

"Meena handikwanisi kupora ronda iri you are my


healer Meena "

Ndiyo nguva yakadzoka Cathrine akabva amira.

"Guy's zvamuri kuchema mese iii you are in love isn't


it."
Meena aive onyara nyara.

Amainini vaive vasimbisa apa ndakabva ndakumbira


nhamba dzenhare ipapo ndikapuhwa na Meena.

"Amainini ndokumbirawo kanguva naMeena."

"Ok"
"Meena l need time with you this weekend will you
make it up for me"

"Why not I Will ."

Ndakafara hangu Ambuya vaive vabuda havo


ndakaiswa mushonga ndokubva zvanzi naMeena
''Ukudei chekudya."

"Handei kwaTm."
Takaenda tese na Meena kwa Tm ndiye aindibatira
madondoro takapinda ndikatengerewa tunonaka
twese na Meena.

Ndipo pandakaona Ambuya vari paTill vachibhadhara


vakandiyeva ndokubva vatarisa Meena ndokubva vati
"Maswerasei."

"Taswera hedu."

Hapana chimwe chavakatura asi ndakaona kuti


vatsamwa havo pamukadzi apa uku ndokunonzi
kupuhwa nedenga chaiko uku.
Takandogara tese panze tikatanga kudyisana chi
CandyCake netwakawanda tunonaka.

"Gwinimbi ndakuda kuzodzokera ku varsity asi


ndodzoka asi usazondirasisewo Gwinimbi
ndokudawo nemoyo wese Gwinimbi."

"Shuwa here Meena ndinenge ndakakumirira ndiwe


wakapinda murudo rwangu."

"But Next week Meena please."


"Ok Gwinimbi."

Ndakaenda kumba ndikaona hangu Gogaz ichibika


for the first time paperbag yangu ndainge ndaiviga
zvangu ndokubva ndamirira kuuya kwaMhamha.

"Eeeh ndimi vataona muchidyiswa zvonaka na


Meena."

"Ndini zvangu Ambuya."


"Meena uye haaenderane newe Muzukuru hauoniwo
kutsvukira vakadzi vatsvuku ava iii unopuhwa huroyi
Mzukuru Ko Evelyn mwana WaMufundisi hauoni
huBlack Beauty paari here Gwinimbi dai wambosiya
zva Meena uyu."

"Iii handione ndichikwanisa kusiya Meena Ambuya


nekuti ndini ndinomuda hangu,ini Evelyn handimude
hangu."

"Uchanditsvaka hako Gwinimbi."

Ndakavatarisa Ambuya ava vasingambonyariwo


vakuda kuita tsitsinye dzavo kutaurawo vakapora
kudaro Ambuya Beauty haa manje ini ndozvisharira
wangu.

"Gwinimbi guess what ndakawana......."

*Clemence/Dorcas*
Paakapinda mubath akazodzamara auya mandainge
ndiri muTab tauro rakadonha zvandakaona zvakaita
kuti sikarudzi yangu ibva yatsamwa ndakabva
ndangoita mutambo wevakuru naDorcas takaita
tisina dziviriro takauita katatu pari pamutambo
wemubhedhuru ndiko kwandonyanya kugona manje
Dorcas ndakamugezesa ndokubva avata achitambisa
mvere dzangu pamwe neNdebvu dzangu dziri
pachirebvu takaita kupengesana nemudiwa wangu
Dokkie akabva andidziisira mvura ndikati ndeyeyi
"Mukada kuFlasha inopisa ndimi Daddy."

"Honhai."

Ndakaseka zvangu ndakazobva kumba ndodzokera


kumba kwangu nemotokari ndichisvika ndakapinda
mugumbezi ndakanzwa ndavekubatiwa sikarudzi
yangu naBeauty ko yavaipi iyi manje yaava kuda
kuita manje ndakabva,ndamurova negokora chairo
ndichitendeuka kurutivi.
"Asi wakupa pfambi rudo rwangu nhasi ndikunzwa
kuda murume mandiri."

Ndakazongoitira murango asi zvaBeauty zvainge


zvondifinha semagwinya ini Mukadzi ane hutsinye
kunge Sisi vaDhiyabhurosi.

"Ndakupa asi iwewe unondinyima sei nhai."


"Ndendakaneta Dady sorry ndokupai pese
pamunodira."

"Horyt"

Ndakarara ndakagukuchirwa naBeauty ndokubva


andimutsa makuseni seni.

"Dady mukai nhasi munoenda kubasa ndakugezai."


Ndakamuka kuma 4 ndikandogezwa musi uyu
makatsva rudo serudo na Beauty muchimbuzi umu iii
ndainge ndofunga zvekwaDorcas vakadzi vaviri ava
iii manhanga kutapira pachokwadi ndakazopfeka
hangu ndichienda kubasa ndakaperekedzewa
kusvika pamotokari ndokubva ati "Dady mukaita
hure chete ndoriuraya handidi mumwe mukadzi
pamurume wangu ndichingomutsa motokari ndakona
Gwinimbi achinditi,ndimire neView mirror.

Ndakamira ndokukwazisana,ndokubva ati "Ndivo


vamwe Ambuya vatakaona muTv,muchipuruzira
zvizamu..?"

"Gwinimbi iii wakangwarisa mhani iweishamwari


yangu iya hayo."
Ndakamupa 10 Usdollar "utengere Amai chingwa."

Ndakaenda kubasa ndakasvika Dorcas uuya


ndokubva asvika akandimhorosa ndakamutsonya
ziso ndichienda kwangu kwandoshandira hangu.

"Ndakabva ndafonerwa ndichipinda muhofisi."

"Wakafamba mushe here Swty wangu ndakusuwa."


Aive Dorcas uyu ndakanyatsokuona kuti apa rudo
rwedu rwava kuzobuda pachena semutyairi
weturakita,zvavakuda kurwadza semukadzi
anemimba yopona kaCheche.

"Neniwo Dokkie paLunch ndodakukuona."

Kumba ndainge ndotyira Beauty akazviziva chete iii


panofa munhu apo ndayambirwa asi pane akamuudza
abva achinja uye ndikubatiwa zvakanaka kurezva
sekacheche.

Ndiri kubasa kudaro Ndakaona Text yakaiswa


ndokuona yaibva kuna Beauty.
"Daddy mukasike kuuya kumba ndikuda kukuonai
padhuze mondiudza kana makuuya."

"Ok darling."

Ndakabva ndadaira hangu ndakashanda hangu


nemoyo wese nguva yeLunch ndiyo yakasvika
takaenda kuChicken inn yedu iye tikatenga
pandakada kuruma pisi "Baba Cathrine murisei."

Ndakacheuka ndikaona ndi Amai Theresa "Amai


Theresa makadii."
"Ko avo ndiyani ava."?

"It's Dorcas wandisevenza naye."

"Hoo Amai Cathy vakumbozviziva kuti mukufamba


nevakadzi vekubasa kudai nhai ndi...."

CHAPTER 12

"Hoo Amai Cathy vakumbozviziva kuti mukufamba


nevakadzi vekubasa kudai nhai ndichandovaudza
chete zvamavakuita."
"Nhaimi Amai totadza kufamba nemaFemale workers
here pamangoona murume nemukadzi varikudanana
haa kwanai mhani Amai Theresa learn to mind your
own business."

Ndakange ndagumbuka nekuda kwehunhu hwe Ama


iyi inongonyuka,kunge hohwa kudero kuuya kuzodira
ivhu kudai.

Ndakabva ndatoona kuti apa takubhohwewa


ndakasimudza Red box yaDorcas ndokubva ndati
"Ngatibvei pano kune vanhu vanorwadziwa panyika
pano vanhu vanorwadziwa zvisingaite manje
havasati vati zvavo takazondodyira kuAfrican Unit
Square hedu,takazodzokera kubasa kwedu hedu
waingova mufaro bedzi bedzi ndichisahanda kudero
pakabva pauya Phineas ndokubva ati.

"Blaz mufambiro wenyu naDorcas zvichiri


zvekushamwaridzana here izvi Blaz iiii."?

"Haa mufanami Dorcas ndiye Besty wangu manje my


Best Friend pano paGraft manje."

"Blazz Becareful na Amai Catherine mudzimai wenyu


uya ano ganza iii akazviziva muchenjerere kuitwa
nguruve Blaz munopiswa nemafuta muvete."
"Gigigi mufanha Dorcas anozviziva kuti kuna Amai
Catherine kumba uku saka hapana paanozomboita
neni rudo rwechivande."

"Hooo nerimwe gore Blaz muchanditsvaka nekuti


kunaka kwaDorcas ndaona makuchiva imi haa apo
tichanzwirira."

"Unenge unomudawo Phineas iwe ndichatomuudza


kuti iwewe ukudawo zve upinde machena."
"Haa kana Blaz ndikutonoroora svondo rinouya ini
ndotoda mundiperekedzewo kwavaTezvara vangu."

"Inga wakarongeka Phineas."

"Haa kana kungoitawo kuti zviite."

Ndakabva ndanyorera Dorcas.


"Honey Tanga kubuda ndokutakura pachikona
chiya."

Izvi ndakazviitira Phineas kuti asazoone zvikuda


kutora nzvimbo.

Ndakubuda "Blaz nditakureiwo ndisare mudhorobha."

Uyu aive Phineas ndakabva ndanyorera Dorcas kuti


"Hwanda ndina Phineas ane dzungu rakawanda
ndikakutakura anozoziva madhiri ndikuuya
kuzokutakura.''
Ndakarova mota ndokubva ndasiya Phineas uya
ndakarova U turn kudzokera kuna Dorcas
ndavakusvika ndakabva ndadzima mbozha nhare
yangu.

'' Iiii Clemence wandikuvadzisa nechando mudiwa


hona ndakumerera kunge huku iii"

"Handei kumba Magumbo,wangu."

Ndakananaidzana naye kupinda kumota naye ndisu


hutu kuenda ku Maraini hedu takasvika kumba
kwaana Dorcas akaenda paAmai Portia kunotora
mwana wake sezvo House maid aive amufire basa.

Ndakabva ndangopinda mubath muya iye


ndokupindawo takambotanga tichigezesana asi
kudzamara tava kuita chikudo uye takasvika pakuita
bonde zvekare takazoenda mubhedhuru ayewa umu
ndaive ndoita sendakatemererwa nyora kani
ndavakuita hudobi hwandakafundiswa naSekuru
Chivavaye iri mushonga yekusimbisa musana aiwa
ndaigara ndichiidya hangu ndaida kunyatsokusiya
Dorcas akaguta hake ndoenda kunopamha mutambo
uyu zvakare kuna Amai Catherine inga vakuru vakati
kufa kwemurume kubuda hura.

"Chipedza kani Clemence hauneti seiko aah please


Dady."
"Dorcas siya ndiite zvandavinga kunoku."

Ndakazopedza hope ndokundiba ndakazopepuka


dzava 11 ndakaona ndakagukuchirwa naDorcas
asina kupfeka.

Ndakatanga kuzvibvunza kuti "Ichi ndicho chiiko


chandava kuita zvee nhai ndirimurume anemukadzi
nevana ko yava ipi zvee iyi Pandakada kupfakanyika
a

Dorcas aive opuruzira mvere dzangu dzekumakumbo


akabva aidhonza zvorwadzirira Soo.

Pandakada kupfakanyika ndakabva ndanzi Tsvodi


Pamuromo "Daddy ndikuda mwana dady."
Inzwi raDorcas iri ndakatoona kuti nyaya yava
kumakata iyi.

Ndakabatidza nhare ndokubva yangopinda foni call


from Amai Catherine.

"Murume wangu uripiko,ndakakumirira nemaziso


matsvuku unoda ndikiswe nemadziro here murume
wangu uyai nenguva Tembo mazvimbakupa kani."

"Tiri kubasa izvezvi Amai mwana nhasi tine ma


orders akuda kuendeswa ku Mozambique emaChips
ndiwo atiri kugadzira haa pakaipa Amai Mwana."
"Ok Dady ndakusuwai."

Ndakadimbura nhare hangu uyuwo Dorcas aive


anyerere hake zvake akabva apinda mumagumbeze
zvake ndakabva ndapindawo zvangu ndokubva
atanga kundikisa zviri deep mumagumbeze muye izvi
zvaikunda ngoma yembakumba kurira izvi
ndakapuhwa rudo rwandisati ndapuhwa na Amai
Cathy musi uyu kana hope hadzina kumbozobata
takaenda,kundogeza tese tiende kubasa iye
akazoenda nemakombi ini ndichiendesa mwana
wake ku Creche ainditi Daddy.
*Beauty*

Kubva zvakauya Amai Kambawa kuKereke kwedu iii


Amai ava vakandifamba handidi kureva chokwadi
kunyanya pavakati "Vamwe madzimai mukuchengeta
Hanzwadzi dzavarume,asi mukushandisa vana vavo
kunge varanda hauzive zvakarongerwa munhu iyeye
na Mwari,saka ngativei nerudo wese mukadzi
akuchengeta nherera zvakaipa achidzinyima chikafu
enda unochinja maitiro ako akashata iwaya
ngationekwei sevakirisitu kwete vahedheni vamwe
vakadzi kunyima varume bonde ngavape murume
bonde musatambe nekuroorwa vakadzi imi murume
anoenda nana marwei uchiti pangu haupaone unoda
murume arare aine musengwa here madzimai."
Mashoko awa akaita kuti ndichisvika kumba ndigeze
ndakavevura panoda kuvevurwa nezvimwe
zvatakafundiswa zvinofanirwa kuitwa nemadzimai
ndaive ndavakuita nekuti Clemence aende haazviite
ndakatanga kuchinja hunhu asi Gwinimbi
ndaingomuvenga ndaiedzawo kuzvinamatira kuti
zvibve asi iii kubva zvati kiringindi pandakamuona
naMeena iii ndakarwadziwa ndoda atore Evelyn
mhani.

Usiku pandaida murume ndakurohwa,negokora


ndakashingirira kusvika zvangu zvaita
ndakatozomugeza Clemie wangu ndikuda
kumupa,rudo mupengo kana kuine Hure ririkuda
murume wangu haa ranyangira yaona Manje.

Ndakandogeza muviri wangu ndokudzoka hangu


mumba ndikadya Sadza rangu rekwa Tm raMakanaka
zvakaramba ndakazama kuda kuti asiye Sadza asi
zvakaramba.

Ndakapinda mumachira ndichifunga zvimwe Clemie


anouya asi kwaingove kumirira bete raenda
kumukaka chaiko,ndakatanga kuzama nhamba
dzenhare dzaClemence kusvika azoidaira kuma 11
achiti arikubasa asi sei kwanga kusina ruzha
rwemichina Clemie ari kuHure chete why kudzimira
ini mukadzi wake,foni Clemie anehure chete.

Kwakaedza ndiine hasha ndakabva ndaenda kumba


kwaAmai Mufundisi ndokubva ndavabvunza kuna
Evelyn uya ndakabva ndati auye tizombokurukura
panze.
Akauya Evelyn uye ndokubva ndatanga kutaura naye.

"Evelyn wave nemukomana here.?"

"Mhamha handisati ndava nemukomana."

"Ko indava."

" Aaah handisati ndawana Mr Right Mhamha."


"Hooo manje kumba kwangu kune Muzukuru wangu
ari handsome ndoda uuye kuzomuona iyeye moyo
yenyu inoroverana ndoda uve makoti wangu nehunhu
hwako hwakanaka."

"Iii Mhamha ndokwayave here nyaya uku,iii."

"Mangwana ndinoda uwuye please unongoita


seurikushumirawo Eredha wako nhai Evelyn uchiona
Future yako."

"Ok zvakanakai."
Ndakabva ndaenda kundowoneka Amai Mufundisi
sezvo Mufundisi vainge vaenda kumusangano
weMale Pastors.

Ndakati ndiri munzira "Meena akuzobuditswa


munjanji na Evelyn haandizive mushe mushe ini
ndinoita destruction ini."

*Gathsmine*

"Amai boy tikaita zvekutamba Dickson anotiuraya


motokari apisa Ford Ranger iya yenhaka."
"Adzva munda achauona kudenga imbwa yemunhu
Dickson uye."

"Haa dai ndisina kutiza ndingadai ndakaurawa naye


nhamba dzake dzenhare handichatombodaire hangu
ini."

"Shuwa apa handichatomboita zveukama nawo."


Upenyu hwedu hwaive woita kunakidza mbatatisi
dzese dzainge dzoyevedza asi rungwanani
ndakafumira kuenda kumunda ndokuwona mbatatisi
dzese dzakaoma kuita sedzadirwa mvura inopisa
ndakamhanya kundodaidza Vadzimai.

"Amai mwana honai Zvirikuitika mumunda umu


tarirai zvirikuitika Amai mwana munda wese here
kuita kutsva kudai asi ndiJeisa aupisa here manje
haungombopiswe nemunhu akafa."

"Iii Izvi ndazvityawo munda wese here."


"Nemari yandakashandisa kuita kuti zvidai honai
zvazvava kuita ndoinonzi lose hombe haa Dickson
akandiendera kuN'anga chete ndotoda kumunyudza
mutsunda pahuro pake haangandidaro nyaya
yemunda iyi honai kwayavakutisvitsa manje huh izvi
hazvibudi baa haa ndaramba."

Ndakaenda kunorongedza museve wandainge


ndatenga ndakavata,kumunda zvangu ndichida
kuona ndiyaniko arikupisa ndakaenda kunerimwe
divi rainge risati rapiswa ndakazongobiwa nehope
ndokubva ndapepuka ndakatota nedova ndakatarisa
mumunda makatsva zvakare zvakaita kuti ndiridze
zikumhere.
"Amaikani ndagurwa kunorira Amaihwe kani."

Munda wese ndiyani arikuomesa zvirimwa zvangu


ndiyaniko adai,kundivavarira kudai pachokwadi
kushanda kundorwadza zvakandipa pfungwa,yekuti
ndiende kuna Godo ori ndakaenda kuna Godobori
ndokutsanangura ndokubva ati "Mira kutaura iwe."

"Uneropa rawakadeura iwe Jeisa ndiyani."

"Ndimukoma vangu,vakashaya."
"Iwewe na Dickson makatora pfuma yake
zvechisimba akurwisa imi manje."

"Kuitasei?"

"Akurwisana nemi haasikufarira nzira yamakabata


nayo Gwinimbi."

" A Sekuru iiii honai ndiri parumana,nzombe


mbatatisi dzese dzaoma,ndodiiko honai ndayaura
muzukuru wenyu Hapana kundibatsira
kwamungaitawo here."
"Unounza mombe shanu toinda kuguva kwake
kundotsipika ngozi ukasadaro unoindawo Sheori."

"Mombe shanu dzakawanda vaSekuru."

"Buda mudare mangu mwana


akazvarirwa,muchimbuzi ukuomera uriwe wakauraya
brut shitt imbwa inemuswe werata kurumidza
kubuda."

"A Sekuru nda...."


CHAPTER 13

"Aaah Sekuru ndaresva kushora hakata dzenyu


ndiregerereiwo mhazi ndakumbirawo."

"Pfunya chibondokoto kasira,kubuda uuye nemombe


Shanu."
Ndakabuda ma Godobori umu ndiine mubvunzo inoda
mhinduro zhinjisa kuti mombe dzaJeisa dzaizoitawo
here mombe dzemushakabvu nekuti ini handinawo
mombe yandinoti yangu zvese ndezvekupamba
Mukoma ndakaenda mudanga kuda kuti ndivhurire
mombe mombe dzese dzaibuda furo Pamuromo izvi
zvakandivhundutsa pandakadzokera ndakawana
mombe dzatove bhoo zvadzo Pandakada kudzitora
dzikatanga kubuditsa furo zvakare iii Jeisa saka
haasi kuda nemombe dzake nhai inga pakaipa
weduwe kumazuva rovira ndakaenda kuna Sekuru
Godobori ndakasvika vachitochera mbambaira
vachiridza mimhanzi yemashavi muSubharu yavo
havo ndakasvika ndikavaaweresa.

"Maswera here Mhazi."

"Taswera kana waswerawo muzukuru."


"Ndaswera."

Vakabva vaenda kundodzikisa Volume rwe wairesi


yairira ndokubva ndati.

"Sekuru ndaenda kunoda kutinha mombe dzamareva


mudanga asi pandangosvika chete padanga paya
ndabva ndaona mombe dzakubuda furo dzose Sekuru
Godobori."
"Muzukuru mombe idzodzo siyana nadzo mufi
akuramba nadzo nekuti ndedzake,wototenga mombe
nekuchimbidza nekuti mufi uyu achauya pachena
semukadzi akazvitakura zvikaswera zvazivikanwa
saka chitomhanya mhanya ukanonoka kusvika
mangwana mauro yava yako handiigonewo."

"Ndapanzwa Mhazi takuenda kundotsvaka zvingaite


tikunde."

Ndakamhanya kuenda kumba ndakasvikotora mari


yaigara mubhedhuru ndini mumota tande
ndakananga kuKotwa ndakasvika kuKotwa kuye
ndikatanga kutsvaka mombe shanu dzarehwa
ndakatenga ndokupuhwa mapepa adzo ese
ndakazoenda kumapurisa kundopuhwa mvumo yekuti
ndifambe nadzo vakatarisa mapepa vakawanana
aiwa zvese machena madeko ndakapinda munzira
kuenda kwedu kwaMutoko Center uku ndakasvika
kupurazi ndokubva ndazoenda kwaGodobori
ndakasvika nemombe dziye ndokubva acheka mvere
dzemombe dziya ndokubva ati.

"Bvisa bvudzi rako riri pedyo nepasikarudzi pako."

Ndakadaro ndokubva Godobori ati ''Dickson ndiyani


wako.?"
"Munun'una wangu,Mhazi."

"Hoo mhepo dzese dza Jeisa dzaitevera Gathsmine


ngadzitevere Dickson ndiye akakuuraya Enda
kumupfanha iyeye enda ikoko Jeisa."

Vasekuru vakabva vanyanyangarika ndokubva


vazodzoka pava paya vainemavhu.

"Ndabva paguva ramukoma wako ndaenda kunoisa


bvudzi remombe nemakona ekuti Jeisa asazouya
kuzopisa zvirimwa zvako izve uuye nembeu
yauchadyara yese pano ndiwe ucharima
zvichashamisa Mutoko yese."
Ndiyonguva yakauya Amai Mhazi vakabva vati.

"Madokochera mbumba umo."

"Madokochera mhanduwe kwabviwa kurisei


mhanduwe."

taitaura hedu naAmai Mhazi Mhazi akazoti "Chienda


zvikabudirira chete rutendo kuna Mhazi Toyota
Wish."
Sekuru ava vanoda Flambo pamba pavo pane marori
maviri mazihombe anotakura mabhero imba yavo ine
makamuri anosvika 38 rooms uye maSolar Panels
anosvika 90 ndiyo N'anga yakabata Mutoko
wese,pakubata makona uye kupfuma zvakare.

*Ambuya Chinoura*

Hakuna Chinhu chakandirwadza pano panyika


kuzvara vana vanehutsinye saDi kson naGathsmine
ndakashaiwa chandakatadzira vana ava zvokwadi ini
shuwa kupamba upfumi hwaMukoma kunyanya
panhamo yemwana wangu Jeisa Dickson kutoita
kunge asiri kuchema izvi zvakandisvota akasvika
pakugura mudonzvo wangu Dickson naGathsmine
vakabudirira haa vanenge vaine rombo rakanaka
vana ava vanun'una vaLucifer haa ndinoshaya kuti
why Ndakapuhwa rwudzi urwu.

Mari yeimba akatora akati akuimwisa hwahwa


ndakazowana Mari YePenjeni ndiyo
yandakakwidzisa bhazi ndokubva ndaenda
kuMufakose ndiina Jonathan ndokubva ndatanga
kubvunza Baba vaFortunate kuti.

"Sei makapa Dickson Mari yedzimba."?


Maroja aive ondandama kutaura ndakabva ndangoti
kwavari.

"Ndakupai Notice mese mwedzi ukutevera muburitse


zvinhu nekuti ndambakuudzwa akazopa Dickson
Mari,zvikamupisa Notice."

Maroja akatanga kuchema chema "Muchembere


tokupai mbichana Dickson aiti akataura nemi musi
wacho takazama nhamba dzenyu dzenhare
dzikaramba."
"Okay asi makurova pasi why makapa Dickson benzi
remwana uyu."

"Jonathan fonera Makanaka auye kuno ndikuda


kumuona."

"Amai Gwinimbi huyai kuno ndirikuno kuMufakose


ndikuda kukuonai."

"Ndikuuya Amai."
Ndakapinda mumba ndokubva ndaitirwa Cerevita
yangu na Jonathan akandipanndikadya
akazonotenga twese tunonaka Kudhorobha reHarare.

Ndiyo nguva yakasvika Makanaka akachena akagara


pasi ndokubva takwazisana ndikati.

"Eeeh Muroora wakaenda Kudare redzimhosva here."?

"Hongu Amai asi Dickson na Gathsmine ndivo


vakahwinha pfuma iyi."
"Chirudzii nhai Makanaka noo nyaya iyi totoda
kuirovera Gata kufa kwa Jeisa hakusi kundifadza
murume wako newe maindichengeta zvakaitwa
nevana vangu izvi hazvisi zvega so unoda tiende here
Makanaka kana ukuda kumbonotanga wafunga
urikumba kwako."?

"Amai ndipei nguva yekufunga nezvazvo."

*"Pakanaka Muroora asi zvakaitwa nevana vangu


hazvina kundifadza zvachose izve ukugarakupi nhai
Muroora."?*
"KuChitungwiza kwa bhudhi vangu Clemence."

"Hooo asi waonda Muroora wangu don't worry pfuma


ikudzoka imbwa idzo dzichatambura Mira uone
ndonzi Maduve ini mira uone zvandoita ini."

Nhonga Cerevita ne Surf umo Muroora wondobikira


Gundani nekuwachira vamwe."
"Maita basa Amai."

Ndakatendwa nemuroora wangu zvinongindirwadza


kuti vanhu vasina kubudira ziya ndivo voita
kumhanyidzana pahupfumi hwakashandwa nevamwe
nyaya iyi tikuda kuirovera Gata Jeisa haasi huku baa
inongomunyiwa mutsipa,ndikuda kuziva chakaita
asvike pakuzvimba dumbu kuti azofe dangwe rangu
kufa asina kupedzisa Service Station yake here nhai
Jehovha wehondo misodzi yakabva yatanga kuerera
weduwe ndiye mwana aiuya namagirosari kumusha
uku ndakachema weduwezvasiyana nembavha idzi
asi ipapo Mwari mhondi dzinochiva nekuuraya ndidzo
dzinorarama panyika asi Jeisa makabva manditorera
izvezvi Dickson anondiona saSahwira Why Lord
why.''
Ndakazonyarara Jonathan auya ndiye akandipa,
Michero yekuti ndidye haa ndaive ndavakunzwa
zvirinani.

*Gwinimbi*

Muzuva rakatevera Sekuru Clemence havana


kudzoka kumba ndakaona kuti vavete kumukadzi uya
wekubuda muTv Ambuya Beauty vazopinda
tsekwende manje vaimbozviita muDie hard asi apa
gava radimbura musungo.
Sekuru vakazouya havo ndokubva ndaona Ambuya
vachifarira havo zvavo.

Musi wemugovera wakazosvika iii ndakafara hangu


kuti ndavakuita nguva na Meena ndakageza
ndikapfeka hembe dzangu dzakanaka nguva yakauya
Ambuya ndakabva ndahwanda ndakaona
vachishupanana na Gundani.

"Iwe mwana akafirwa kuzora hwai cobra paVeranda


hunza gaba reCobra kuno izvezvi."
Paakaunza Gaba Gundani akadirwa Cobra ndokubva
vatanga kumudzemura mambama,ndokurova
ukatevera Jeisa kumarinda ukuhwa here."

"Nhai Amai Elder mungabva madaro here kumuzadza


Cobra kudai Inga bhaibheri rinoti hamurangi
nemaoko asi neshamhu wani."

Ndakaona vaive Amai Mufundisi Kamba vaitaurira


Ambuya zvese ndaizviona ndakahwanda muHedge
hangu zvakaitwa Gundani handina kuzvifarira saka
Ambuya vainyepedzera kuita munhu kwaye nhai asi
zvavanoita hazvisi zvehunhu hwe mutendi Ambuya
vakabva vapfava ndokubva zvanzi na Amai Kamba
vainge vauya namamwe madzima pfugamai
tikunamatirei.
Kubatwa musoro kwakaita Ambuya kwakaita kuti
vatange kupopota vachidakuedza kubvisa nguvo
yavo.

"Handidi naye ini Mbuya vake ndoda atodzinge


Gwinimbi Chinherera ini ndiri die hard ndofa naye
hehehede."

"Out in Jesus name."

"Wandipisa kani wandipisa wandipisa ndakuenda."


"Ndaenda ini."

" Were is Gundani aripi."

"Apinda mumba uyu."

"Amai Chidzero rambai muchiita zvemunyengetero


nekuti ndikuona imba yenyu ichigonya Mwari
vandituma kwamuri simbai nekunamata musabva
muhuvepo hwaMwari honai mademon akuita
kukudhererai maive musiri imi manga modai ndiwo
mademon anokupfekai."

"Ndichadaro Amai Kamba."


*"Munenge magona chose henyu."*

Vakazoenda vana Amai Kamba vaya ndakabva


ndaenda nechidondoro changu kundowonana
naMeena mwana akatora moyo wangu ndini
nyakufona hangu.

"Toenda kuSurface hedu for a date."

*"Ngatiendei ikoko."*
Takaenda hedu kuSurface ini ndakatanga kusvika
ikoko kuSurface kuya ndikaona,heya ndaiva ndoga
Meena akazouya nekombi ndokubva ndamumbundira
takaenda muhuswa hwaivemo,wakachekererwa
ndokubva tatanga hedu kutaura.

"Meena unoda kundiitira vana vangani."?

"Vashanu mudiwa."

"Hoo inga zvakaringana."


"Asi Meena ukaenda usazonoita umwe mukomana
kuMsu please mudiwa?.

"Ndingabvunzewo here.?"

"Bvunza Darling".

"Uchiri musikana akazara here.?"

"Hongu ndakachengetera iwewe murume wangu


Gwinimbi."
"Hoo pakanaka Meena uya umbokwiza malips angu
akuvava."

Meena akasvedera padyo paaida kukwiza ndakabva


ndamupa imwe Kiss yepamuromo yaaisambotarisira
Ndakanzwa akudzoserawo ndika ziva kuti zvaita
zvee rudo rwasimba.

"Meena kukusiya kwangu kuchanetsa nekuti ndiwe


musikana wangu wekutanga nekuguma."

"Kana iwewe Gwinimbi ndiwe mukomana wangu


wekutanga futi."
"Meena Ambuya vangu vanorwadziwa nerudo rwedu
asi ndoda kugara ndaratidza Amai Muroora."

"Ndokugona nhasi ndinoda kuudza vabereki vangu


kuti ndane mukomana ndisati ndaenda,ndoda vazive
mukomana wangu."

Vaviri vaita kupengesana pamwe nekudhomotsana


nerudo,vaiita sehangaiwa kana mahwindi aibva
angodanidzira kuti "pfanha unodiwa usazorase
mwana uyu."
Ndakazoonekana naMeena ndokubva ati 'Nyaya
yepfuma uchadii zvayakatorwa.

" Meena ndinoshanda yangu isina bopoto."

"Ummm Shuwa here Daddy."

*"Yes ndichatodaro.*
Ndakazoenda kumba,ndavakuti uchazokarangarira
here kanzvimbo keSurface kandaive ndiina Meena
wangu iii zuva ranhasi rabva randinakidza kani
kupfuura mazuva ese, Mwari vakandigadzirira Meena
wangu ndakasvika kumba kuma 4 ndakadaidzwa na
Ambuya "Muzaya huya kuno uya uone shamwari yako
irikuno."

Ndakaenda kuya ndokubva ndaona hangu musikana


takabva taramba takayevana zveidi musikana uyu
akanaka Black beauty chibhora kunge Meena
'Muzaya anonzi Evelyn Kamba wandaitaura Evelyn
uyu anonzi Gwinimbi mwana we Hanzwadzi yaBaba
Catherine."

"It's nice to meet you Gwinimbi."

"Me too."
Ndakatambanudza ruoko rwangu magetsi
andakanzwa Soo Ambuya vakabva vati.

"Iii Poto yangu zvayakutsva vachisimuka."

Ndokubva tasara tiri vaviri na Evelyn uya.

"Ehhh haudi ku....."

CHAPTER 14
"Ehhh haudi kumbouyawo kumba kwedu here
Gwinimbi,kana kuchechi zvako."?

"For the why, Evelyn".?

"Ndoda uve my friend."

" Ummm that's a bad idea l can't have a female


friend ini."
"Ummm Gwinimbi kaa you look so handsome my
friend but please accept me as your female Friend."

"Noo it won't work."

"Can l have your number Gwinimbi".

"I don't give strangers my number so back off."


Ndakabva ndabva pana Evelyn ndini mumba pfacha
zvangu ndakapinda ndikatora Juice rainge risina
kuvhuriwa ndokutanga kunwa zvangu.

"Gwinimbi ubike Amai vako vanonoka kuuya ndiyo


nguva yakazouya Sekuru Clemence vakauya
ndokubva vandichingamidza asi kahwema kakabuda
paHembe yavo soo kaa i perfume yemunhukadzi iyi
ndakatirisa miromo yavo ndokubva ndaona shasha
yakuenda kubhedhuru.

"Gwinimbi ndakumbogeza Muzaya."

*"Zvakanakai Sekuru vangu."*


Ndakaona hezvo hembe dziya dzanga dzakapfekwa
pamuviri dzava mubucket dzadirwa Surf ndakaseka
nechemumoyo nezvaiitwa naSekuru manje kuna
Mbuya Beauty Sekuru vanobaiwa nebanga ava
vakafa regei vakuru vakati "Wazviona siya zviripo
ukazvitakura uchauya wopesanisa vakawanda
chokwadi chacho chingaparadza zvakawanda."

Ivo Ambuya ndivo vakazviputsira imba yavo nekuda


kwekupusa kunyima munhu akabvisa mombe bonde.

Ndakabva ndaenda kukamuri kwedu musi uyu


Chando chaiita kudambura ,ndakazonzwa kugugudza
ndipo pandakaona ari Catherine.
" Pindai Amainini."

"Eeeh Gwinimbi mangwana ku Chibuku kukutorwa


vanhu uuye nemacvs mwana uwane basa."

"Patsvene Amai ndoita sekudaro."

"Arisei makoti wangu."?

"Aribhoo aikusimbisai."
"Hoo ko Evelyn waidii naye."?

"Ndaimumhorosa hangu."

"Hoo inga,but Becareful naye nekuti ini handina


kumbobvira ndaita ushamwari naye iwewe kana
wakada Meena ita zvaMeena pamunondo,pamusasa
gara wachera chigomba woti (Puu)".

"Maita basa Mhamha."


Vakazouya nemagumbezi mamwe ndokundipa
ndikafuga hangu Gundani akabva apindawo.

"Mukoma musazonakirwa nemaruva enyika haaperi


awa pana Meena mukoma rambai makabatira
sechikwekwe."

"Wow Meena zvaadiwa nehama dzangu Nhai."


"Ndoyacho zve nhai

Ndakabva ndabuda panze ndokubva ndachaira


chigagairwa changu nhare Meena,yakarira kaviri
kese isina kudairwa ketatu she picked up.

"Hello Daddy."

"Urisei My Honey."?

"Ndiribhoo wafamba mushe here darling."

"Yes and you".?

"Same same".
"Inzwa ka Baby At your call, I hear harps

And angels sing

You know how I feel

This thing can't go wrong

I can't live my life without you Meena

I just can't hold on

I feel we belong

My life ain't worth living

If I can't be with you Meena my Honey."

"Even here my life ain't worth living if l can't be with


you Gwinimbi."
Misodzi yerudo yaive yoyerera mudiro wangu Meena
wakanyanya zvekutoti ndiripafoni kudaro ndakabva
ndati.

"Meena ndanga ndakutoda kuuya kuzokutsvaka


ikoko baby kutogara ndisinewe kuchandishupa ende
ndatova nemusengwa wekutotadza kurara baby uya
kani timbotamba tese chisveru chikudo
nechamuhwande hwande baby wangu Meena."

"Upondwe here Gwinie wangu ndafonerwa na


Amainini vati makuseni ukumbondotsvaka mushando
good luck bby."
Mari yakazopera ndichitaura nechigagairwa changu
Meena ndakabva ndaenda mumagumbeze ndini
kubatiwa nehope zii ndakadaro.

*Clemence*

Rudo rwa Dorcas rwakutapira kupfuura huchi hwe


Gonera pandaipedza basa ndobva ndangoenda
kumba kwake kundogeza naye muTab zvangu
mudiwa wangu uye musi wandakararako Beauty aive
akaita kutsvuka maziso kumba panechinhu
chandakaona pana Beauty ini chaainge asingaone
ndakabva ndati ko nhai "Amai Chidzero mukunwa
here maContraceptive imi hamusi kuona kuti
mazvitakura here."
"Whatever Clemence handina nhumbu ini chero
ndikaita mimba ndeyangu zvee."

"Hoo."

Ndiyo nguva yakarira nhare yangu ndakaona Beauty


achitarisa mufoni ndokubva ati "Who is D"

"Darlington pfanha wangu."


Akabva aidaira weduwe ndakanzwa dikita kuti teu
teu.

"Mukadzi wani nhai akutaura.''

''Hoo "

Beauty akaita searikuda kunditambidza Foni


ndokubva apwanyira kumadziro.
"Clemence ndakiya door nhasi kana uchindiuraya
uraya am sick and tired of this games haasiriye
Dorcas here Clemence huh ndiko kwawakarara musi
uya wawakati urikubasa,l need to find the truth kana
wakavata naDorcas iyeye chete usarwadziwe nePlan
b shuwa nezera redu tozara njovhera shedegu
ndokupa wani ukushayei mazamu awa ndinawo wani
Clemence huh."

Ndainge ndangoti dzvoko dzvoko Beauty achipopota l


deserve kupwanyirwa foni yangu iyi ndakabva
ndamumbundira mudzimai wangu.

"Mhamha hakuna Mukadzi wandikudanana naye ini


Munhu afona uyu ndi Supervisor we Company uyu
akudakutaura zve Increament yemaSalaries asi imi
mukuita hasha mopwanya mbozha nhare manje
honai zvoita Jealous renyu kabby karimudumbu kane
hasha."

Nyoka huru haizvirume weduwe Chinhu chandainge


ndovhara kuti mudzimai asauye kubasa uku iii
chobvondoka,Phineas haangengedzeke uya ndiye
munhu anofumura gure chete ndakanyengerera
madam ikadzikama kwave kuseni ndakamuka
ndikageza hangu ndokubva ndaenda kubhedhuru
ndokupfeka hembe dzedu dzeku Cairns Food
ndakamutsa mota kuma 6 ndokubva ndaku revhesa
ndakavhunduka kuona Amai Theresa vachivhura
gedhi ndakabva ndamhanya kugedhi ndokubva
ndanoti "Ko kwakanaka here munhu wa."
*Amai Theresa*

Pandakaona Baba Cathrine vaine mudzimai


wekubasa kwavo ndakasvikapo ipapo ndokubva
ndaona kuti Vaviri ava vanodanana chete sezvo
kaive kepiri kuonana navo kekutanga ndini
ndakavaona ivo havana kundiona kana kana zvavo
ndakaseka zvangu ndikati hamusati matanga henyu
ndonzi Gracious zvese izvi ndoda kuzviratidza Beauty
awone mabasa emurume wake akapusa kudai shuwa
nezera ravo vavakutarisira pfuma kana Cathy
aroorewa vavakuti sona sona netukadzi twekubasa.

Ndakasvika pavainge varindokubva ndabvunza rafu


yacho iii Baba Cathy vainge vatsamwa havo
ndakazobvapo vavekuti "Learn to mind your own
business."
But ndaida kuziva kuti for the why nemukadzi
wekubasa uyu ndakatarisa paUniform pake pakanzi
Dorcas ndikarinyora mufoni zita iri ndakabva ndati
rimwe zuva ndokumukira kuna Mbaura uku
ndonoonesa vasikana biyangu.

"Ndirini Gracious chokwadi ndotaura handipoterere


sahwira wangu haanga paradzirwe imba na Dorcas
ndomira naye seMureza wezvigure ini ndakazoenda
kunohodha kuZambia sezvowo Baba vaTheresa
vainge vari busy kuenda kwavo kubasa
kwaMunenzva kwavanochaira bhazi rinoenda
kuCapetown.
Musi wandakabva kuZambia ndakazorora
remangwana racho ndakafuma bata jongwe muromo
ndakananga kwaSahwira wangu ndakasvika
paruvanze ndikaona shasha ichi revhesa mota hangu.

Ini Gracious ndirimukadzi avekuda kupinda mu40


ndiine vana vatatu Theresa Moreblessing,
Tanaka,Murume wangu Kelvin anoshanda kwa
Munenzva ini ndichiita hangu zvekuita Cross Border
dzimwe nguva ndinoenda nemurume wangu kuSouth
naMunenzva waano tyaira.

Ndakaona Baba vaCathy vachihuta pavakandiona


ndichiti pfacha pamba pavo ndakaona hezvo
ndachingurwa ndakangoseka zvangu ndikati
nechemumoyo,Beauty achazviziva chete uye Hure
rekubasa iri richapa chidzidzo kuti vakadzi vevanhu
havatorerwe varume vavo ndakanyatsokusvika
pamba pavo kotsika dzainge dzoitwa nava
Chidzero.pavakati.

"Ko kwakanaka here munhu.....

Ndakaramba ndichifamba hangu ndokubva ndati


"matiiko........."

*Dickson*

Ndakaiverenga Mari yainge yashandiwa kuBoutique


yainge yakusvika kuma 12 thousand ndokubva Amai
Jakobho vauya vakati "Madii maendeserawo
Gwinimbi kana 2000 Baba vaJakobho thousand
mopawo Amai."

"Ndibvire kumhepo mudzimai wangu Mari iyi ndikuda


kunoihodhesa kuDubai uku vana Gwinimbi
vachafamba nezvigamba siya uone Amai vageza
Kariba here kana kunanzva rurimi rwenyoka.mari
yese kunohodha iyi handichengeti nherera."

"Asi Baba vaJakobho zvenhaka zvoshupa izvi


mukapota muchipa mhuri yemushakabvu mari
handione muchiita dambudziko pamberi apo nekuti
wo mushakabvu akagumbuka hazvibudi mushe,rumai
mofuridzira."
"Zviroto izvo Amai Jakobho."

" Kupa Gwinimbi kumupa Mari yese iyo, ageza Garwe


here kwete."

"Upfumi uhwu hausi wedu Baba Jakobho."

"Ndokuvhara mbama Charmaine ukunzwa nyarara


nyaya iyoyi."

Takaenda kunovata hedu mudzimai wangu aiedza


kuda kubata bata sikarudzi yangu ndakamurova
mbama ndokuvata.
Hope dzakandibata ndakatanga kurota ndiina
Mukoma Gathsmine vachiramba nemunda ndikati
"Chindipai munda ndirimewo mbatatisi ndokubva vati.

"Jeisa uyu ndiye munhu akakuuraya uyu netsa


Dickson.,"

Ndakaona Mukoma Jeisa vakaita kufuta dumbu


vakapfeka zvichena ndakabva ndati "Akunyepa
handisi handisi handisi ndipo pandakapuhwa mbama
ndakazopepuka kuona Amai Jakobho vandirova
mbama "Ndambokutii nezuro nenyaya ye....."

CHAPTER 15
"Ndambokutii nezuro nenyaya yepfuma yemufi
chikunyanya kunetsa chii nhai Baba vaJakobho."

"Ndarota Mukoma Jeisa Amai mwana kaa nhasi


ngatiendei kudzi N'anga pachinenguva apa."

"Eeh Baba vaJakobho imi naGathsmine ndimi


makadeura ropa ramukoma wenyu you will do
whatever not to ask me."
"What?".

"Inga ndaiitira iwewe wani Charmaine honawo imba


yatava kugara imba hombe inoita sehotera."

"Ummmm Dickson am no longer comfortable kugara


nezvinhu zvatisina kubudira ziya dai wadzosera
upfumi kuna Makanaka nevana vake."

"Dzako hadzina kuti kwesere ukuhwa here ukaona


kuti zvakukunda ndosara nemhuri yangu Charmaine."
"Whatever."

Ndakamuka ndikaenda mubathing ndokubva ndaisa


mvura waizodei imba ine insuite nemalounge ndihwo
upenyu hwandaigaro ona muma movie uye Maka
ndonuda ndakazama nhamba dza Makanaka.

Ndakaita mhanza ndokubva dzadairwa.

"Hello."
Hapana aitaura nhai ndomutsvakirepiko Maka uyu
ndotoda kumutora ndodzinga Charmaine akudai
kukura zimusoro,kudai zvekuenderwa mberi
semhuno ndozvandisingadi izvozvo.

Ndakapedza kugeza ndokubva ndatora nhare kuda


kubata mukoma Gathsmine asi nhare yavo vaitokata
call yangu .

Ndakanyora message isinganyare.


"Mukoma Jeisa ndikungomurota iii ndatambura
ngatitsvakei Sangoma pachinenguva."

"Kwana Dickson iwe munhu akafa haana Simba


kuvapenyu."

"Nxaa ndimi makundidaro Mukoma asi,ndimi


makandipa mushonga wacho.''

"Dickson zvionere wava munhu mukuru iwe,now tese


zvataida tava nazvo wani munhu ngaamire mire
neupfumi hwake."
Text yakandirwadza mhani iyi ndakabva ndafunga
zvekuinda kuDubai ndakaenda kuAirport
kundobhadhara flight inoenda Dubai
ndinonyatsokuhodha Quality keete mazitye bodo
ndakazofuma kukwira ndege kunanga Dubai musi
waitevera wacho,ndakapinda mundege umu
ndokurutsa payakasimuka.

Takazosvika Dubai ndakatanga kuhodha twunhu


twese tunodiwa muBoutique mangu koyava yangu
zvee ndabhadhara muripo wekuti zvitakurwe zvinhu
zvangu zvee Kondava mhene pandakasvika muno
MuZim ndakabva ndatooona motokari yangu yauya
naCharmaine zvinhu zvedu takaenda nazvo kushop
se stock nyowani ichangopinda.
Ndakatanga kuzvirova dundundu hangu.

"Chero Gathsmine akada kundivharira panze


nemunda vadzimu naNyadenga varikundipa kudai."

Asi mumoyo mangu mukunetseka kuti Maka


ndomuwanepi mhani ndini ndofanirwa kumugara
nhaka Mukadzi waMukoma uye Mukoma munhu
akamboti nonokei kuroora vachitifundisa Chikoro.

Ndakandoenda parino zimubhedha ririku Swimming


pool ndokubva ndagara poo ndichimwa Juice
sezvaiita Mukoma hope dzakandibata ndiri
pachimubhedha ichocho ndakaona Mukoma Jeisa
vachindizunguza "Dickson wavakutohodha kunana
Dubai nemari yangu hausikuonawo kutambura
kwemhuri yangu here."?

Ndezvekwenyu izvozvo Mukoma inga pfuma


makasiira isu veropa wani nhai Mukoma chaipa chii
zororai murugare.''.

Ndakazongohwa mbama kuti paa.

"Baba va Jakobho ndambokuudzai nenyaya yepfuma


yaJeisa kuti ngatiipei varidzi munosvikepi
muchitaura nevafi haa mukasandodzosera pfuma iyi
ndava kuenda kwedu ini."
''Charmaine ndiwe wandirova mbama iyi hapana
kwaurikuenda kana wakatodziya motowembavha
utori mbavhawo pfuma ndeyedu iyi adzimai (Chinhu
chedu) kwaunoenda hapana ronga titsvake vana
Sangoma vatsipike Mukoma nekuti ndaisatarisira
kuti vanouya adzimai ngatisanonokerei Colgate
mazino asati awora ndatoshaya kuti,sei mufi
arikuzivanezvinhu zvandakahodha kuDubai mutsai
Landcruser tiende ku Chipinge."

Adzimai vakaisa Key ndokubva yaguka ikasarira.

"Zvaari manenji Baba Jakobho Key yadambuka


vakada kuedza kundomutsa imwe mota mpv mazda
ndokubva yatoramba kumuka zvamuchose
yaingoguma mukuti "Kahhhhhhh" yonyarara.
"Amai mwana ndikuona Sekunge Gathsmine
akati........."

*Gwinimbi*

Musi wemuvhuro ndakafumira kuenda kuTilcor


Industry kunotsvaka basa kuChibuku uku ndakatora
madhondoro angu sezvo ndaive ndafumo bata
jongwe muromo, ndini tande nemugwagwa kuendako
ndaingonamata munzira mese ndichiti "Mwari itaiwo
ndisevenze Jehovha ndiwane kuchengeta Amai
vangu pamwe naGundani Jehovha inzwaiwo
kuchema kwangu ini nherera Wamasimba
wose,Amen."

Ndakasvika paine mutsara ini ndini ndakaita


wechishanu paive nevakomana vana vainge vauya
pakazozara zvekusvika Zana aitora vanhu akabva
auya rimwewo zigomana ndokubva raita pressure
ndokundisundira kunze kwemutsara.

Rikabva rati.

"Basa repano paChibuku harishandwe nezvirema


chitoenda kumba kundovata zibenzi remunhu.
Mukomana uyu aive kumashure kwangu hake ndipo
paakaonekwa neaitora ndokubva ati "Koiwe
wadonha pasi chiiko."

"Ndasundirwa pasi neuyu mukomana."

"Hunza tione maQualifications enyu."

"Victor Banhamombe." 4 subjects Passed Olevel fail


2u.

"Gwinimbi Chinoura."
9subjects Passed 4 Cs 2 bs,3 As.

"Gwinimbi dzoka mumutsara takutoguma panhasi


Gwinimbi nevamwe vana vanga varikumberi pindai
mukati tikupei basa imi vana Victor Banhamombe
banhai mombe tiwone, nevamwe endai munodziisa
magumbezi kumba nekupedzisa zvimunya."

Ndakafara pandakapinda basa paChibuku apa hey


ndiko kudiwa nedenga ndakabva ndaitwa Auditor
wechipiri pa chibuku apa.
Ndakafara weduwe ndainzi basa ndikutanga Muvhuro
unouya ndakasvika kumba ndiine mufaro
ndakadaidza Amai vangu pamwe naGundani ndikati
"Ndawana basa randakatatsvakirwa na Amainini
Catherine."

"Amainini vanemoyo wakananaka mwanangu


Gwinimbi kwete Zimai racho Jezebel chaiye rine
hutsinye mhani musazviti bufu zvebasa izvi kwavari
vachazoona seSuprise."

"Ipapowo magona manje."


Ndiyo nguva yakarira nhare ndakadaira nhare yangu
ndikaona vari Amainini Cathy vaindifonera.

"Huya kuZengeza 4 mwana."

Ndakabva ndaoneka Ndokubva ndaenda kuZengeza


ndakasvika ikoko ndokuona Amainini vaine vamwe
vasikana vachiita nyaya ndakasvika pakuvamhorosa
ndokubva vati wait ndakazongonzwa kuvhariwa
kumeso nemaoko zvikanzi na Amainini "Fembera
ndiyani akuvhara."
"Ndi Meena zvee andivhara."

"Haa wagona."

Takabva taenda pedu togani kunotaurirana "Eeh


Gwinimbi mudiwa

Wazoriwana here basa.?"

"Kwete.mudiwa."

Ndakaona chiso chaMeena chashanduka ndokubva


ndaita kakumudzonzera padhuze padhuze.
"Meena chero ndiri rovha unonyatsokundida here."?

"Dai ndaisakuda Dady ndisina kumira nemi zvee."

"Ndawana basa mudiwa.ndakushanda Mwari


vandinzwa ndichatanga Muvhuro."

Ndakabva ndapuhwa tsvodi pamuromo naMeena


wangu zvee.
"Gwinimbi mangwana uwuye kumba kwedu ndoda
vabereki vangu vakuzive mudiwa ndakumbirawo."

"Your wish is my command baby wami."

Takabva taenda muzvitoro tikatengerana tunonaka


twese hedu takazodzoka kwaive nevamwe ndakaona
pasvika Evelyn uya asi ziso rake Soo raisabva pandiri
ndakaona omedzerera mate pachokwadi.

Ndakazoona oenda kuna Meena ndokubva ati "Ndeip


Mukoma Meena ndivo Babamukuru here ava.?"
"Hongu ndivo asi handidi kukuona pedyo navo
zvako,ndingakupwanyira mumugwagwa Evelyn."

"Ahhhh Mukoma ndingadaro here nhai kwamuri


mukoma.''

"Evelyn endawo pako wega mhani wavakutoda kuita


weChitatu muzvinaguhwa."
Meena aitoratidza kutoti haadi kutoona Evelyn
pandiri chaipo uye aibva atomuudza saka musikana
wangu akuona vavengi vake nhai haasikuda
kuvapa,mukana wekubatanidza chaiwo Evelyn
akabva akunyara pataive achingoita kuzunza
magadziko kuti ndiawone manje a Meena mahombe
maHips toti kuchiso uku haa wega unoona umhizha
wanyadenga.

Ndakabva ndangoenda kumba ndokubatiwa nehope


ndakazongonzwa kunyorowa kwemagumbezi.

"Nherera kutadza kubika Sadza izvezvi Sekuru venyu


havasati vadzoka zvandaudzwa na Amai Theresa
kana chiri chokwadi iiii panhuwa Ropa."
"Kudi......"

Ambuya Beauty utsinye hwavo apo kwaitonhora Kani


iii chando zvachoita nguva ino ndainge ndodedera
nacho magumbezi ese aita kuti nyakata nekutota
ndakasimuka ndichimutsa Gundani asi kwaaive
avete havana kudira mvura nhai "Zimbuya iri
rakandimaka nhai harindide nhai asi
rinondivengereiko ndisina kumboritadzira nhai."

"Muka ubike."

"Ndobikei imi musingadyi zvatobika nhai Ambuya."


"Bika chete ndoku.....

*Beauty*

Pandakaona Amai Theresa ndichida kuenda


kunotsvaira ndakanzwa vachiti kuna Baba vaCathy
"Eeh vhara muromo handisikuida maizviitirei nhasi
ndauya kuzoparadza Chitsaga chacho."

Ndakaona Baba Cathy vakubuda mugedhi vachiita


kubhururutsa motikari yekubasa ndakabva
ndakwazisana na Amai Theresa ndokubva tapinda
mumba ndakatarisa Gwinimbi na Gundani vainge
vasimo kana Makanaka wacho hameno
kwamukirirwa.
"Makadii nhai Amai Theresa."

"Tiripo ndaona muchishupana na Baba Cathy


kwakanaka here."?

"Iii Vasikana munongoita basa rekugara mudzimba


umu musingateveri varume kubasa uku muchaona
dzamira nemhuru."
"Mukuda kunyatsotiiko nhai Amai
vaTheresa,handichanzvisisi."

"Ndirikuti Vhurai maziso enyu awa kwete kukotsira


mhani."

"Amai Theresa kana ari sa Clemence mazuwano


ndikumupa muchero werudo usiku hwese haa kuita
side,chick hamenowo."
"Hoo regei ndinyatsokutaura zvangu zvandakaona
makasimba hana here Amai Cathy."

"Sahwira ndodzoka ndotya ini nemutauriro wako uwu


chiiko Sahwie nhai."

"Sahwira murume wako Clemence,ndakamuona


svondo,rapfuura aine mumwe mudzimai muChicken
inn iri kuConstruction House uko so Becareful
nemurume uyu."

"What."
"Shuwa Dorcas ndiye mukadzi wacho Sahwie
chenjerera kusiiwa na Clemence uyu."

"Watopedza nhamba idzodzo dzakaita timbonetsane


saka ndiye mukadzi aive akanzi D kundinyepera kuti
arikubasa aive kumba kwake Dorcas nhai Mwari
ndiwo muripo here uyu murume kuenda kuHure,nhai
hure ndikaribata ndoriuraya hure iri haa rofa chete."

"Come down Sahwira ngatitorongai plan B tiwane


kupedzera Hure iri mhani aah Sahwira nzeve
dzikupenya eehh asi wava ne........."
CHAPTER 16

Come down Sahwira ngatirongei plan B tiwane


kupedzera Hure iri mhani aah Sahwira nzeve
dzikupenya eeeh asi wava nenhumbu."

"Ichibvepi nhai Nhumbu."?

"Sahwie wait ndikuuya."

Vakabuda vaine speed yeimbwa nhatu Amai Theresa


vakaenda pamashops epaZengeza 2 vakasvikonanga
paChemist ndokubva vatenga Pregnant Test kuti
vanyatsokubelivhisa Beauty aisazviona kuti atsika
pavakadzoka vakaona Beauty achirutsa pamaruva.

"Sahwira ndambokunyeurira kuti unepamuviri chiona


wabva warutsa manje saka makwikwi Clemence
haasi kudzoka zvekumhanya saka unokwanisa kuti
tiende kubasa kwemurume wako here."?

"Handei Amai Theresa."


"Sahwira mirai ndinotora Crv kumba tiende nayo"

Sezvo kwainge kuchiri kuseni Beauty akagadzira


mumba make vakabva vatora mapanga nezvipikiri
nesando,vakazvirongedza Beauty akazotora Jerican
netambo inosungiswa magonyeti ndokubva ati ''Hure
iri richaudza dzimwe pfambi kuti murume wemunhu
haatorwi nenzira iyoyi dai aidiwa dai Clemence
akatakura bhegi kuenda so l have to fight for,my man
a blood fight."
Amai Theresa vakazodzoka havo kuuya muraini
medu muna Mbaura ndatoisa zvombo pamusuwo
vakabva vasimudza Jerican *"Asikana muneiko
muJerican umu.?"

"Mune Peturu weave ye Hure nhasi inofanirwa


kunganduma mirai muone Amai Theresa
zvatikundoita Hure iri kubasa kwaBabavaCathy nhasi
toivharisa Cairns iyi vakabva vatopinda mumota
sezvo zvombo zvese vainge varongedza motokari.

Yakamutsiwa yakananga na Seke Road vese


madzimai awa ainge akaita kupfeka maSkin Jean
nema Verse zvee neVans kutsoka vakazosvika
mudhorobha reHarare ndokubva vatanga kupangana
mazano.
"Todii manje Sahwira."

Vakadero Amai Cathy vachibvunza Amai Theresa


vanove ndivo vaityaira motokari.

"Eeeh handei kuConstruction House tindowona kuti


havako here ikoko."

Vakadaro Amai Theresa zvakaita kuti Amai Cathy


vagutsurire musoro kuratidza kuti vakubvumirana
nehurongwa hwa Amai Theresa motokari yakatsikwa
mafuta ndokubva vasvika kuConstruction House
vakananga muChicken inn ndokubva vatarisa mese
mainge makagara vanhu apo vainge vapfeka maHat
e Chi Cowboy havo vakabuda meso agutsikana kuti
Clemence nepfambi yake havamo zvechokwadi
vakazosimudza motikari kuenda ku Southerton kuma
Industry vakasvika vakaenda kune Cairns Food
vakasvika vakamira havo nechekure vakaona
murume nemukadzi vachibuda Amai Theresa vakati.

"Wait regei tinobvunza hedu vasati vamutsa mota."

"Itai sekudaro Sahwira."

"Pakanaka."
Amai Theresa vakaenda pamota paive nevaviri vaya.

"Mamukaseiwo ini ndoitwawo Amai Theresa ndiri


Shamwari yaAmai Cathy ndingabvunzewo here."?

"Bvunzai henyu Mother."

"Nhai Clemence akumbowanikawo,here paneShoko


rerufu rwabva kumusha."

"Aaah Very sory ini ndoitwawo Phineas ndinosevenza


navo Clemence abuda."
"Hoo anodzoka nguvai manje."

"Aaah abuda hake na Dorcas vanodzoka kana Lunch


ichinge yapera."

"Todiiko nhai taida azive nezverufu rwaitika kani oo


shame."

"Mirai ipapa."
Muchinda uya akabva apinda mumota kuenda
ndakaenda kuna Amai Cathy asi kuti ndiudze
mubiyangu kuti Dorcas ndiye abuda nemurume wake
ndakaona zvichimukanganisa mwana ari mudumbu
why akakasika kubata mimba tisati tapedza kubata
hure nhai, komurume akapuhwa chirwere naDorcas
anozodiiko nhai regei vanhu vachiti vanhurume
imbwa regei ndichiita take take naBaba vaTheresa
nekuti nebasa ravo rekutyaira mabhazi vanosangana
nemiedzo mizhinji,kwazvo.

Ndakapesanisa dzangu tsoka kuenda kuyedu mota


ndakasvika Sahwira achipfodora hope hake ndiyo
nguva yandakaona ka Np200 ka Nissan kachisvika
pagedhi ndakabva ndaona hezvo shasha ndiyo nhai
ndakabva ndaimutsa.
"Eeeh Amai mwana murume wenyu uyo adzoka,saka
mariona hure rake ririku Motherseat kaa.

Ndakaona Beauty angotuzura aita kufuta nehasha


akuda kuvhura mukova wemotokari ndakabva ndati
kwaari.

"Ndamavhara Sahwira zvatavakuita


ndezvekumbobva chinzvimbo chino nguva inokumuka
Baba Cathy touya togarira tovatevera toona
tanoripisa weave ye hure kumba kwaro Baba Cathy
vakayeva."

"Good idea nekuti nekuti tikada kunokonzeresa


mukambani murume anodzingwa basa Amai Theresa
izvezvi kune zvinherera."
"Hoo manje uya mukuru akashanda Becareful
monitor every move my friend mukuru uya ane vision
yehupenyu anonzani zviya."

"Gwinimbi."

"Ari Dangerous makesure kuti haatsvakirwe basa


muite mubhanditi gumbo rake rakakuvara kudai
shandisa nherera Sahwi unotombofanirwa kudya
dzakayeva nherera idzi dzongomedzera mate
nenzara."
"Manje Cathy anovada zvondibhowa mhani kunyanya
kasikana kanonzi Meena kanongoti zvizamu
nezvigadziko zvihombe kanoda Gwinimbi izvezvi
vakutodanana ndinowona Sekunge ndiko
kakatengera magumbezi ana Gwinimbi ndikamatora
ndikapa rimwe mufundisi Kamba.

"Asi Mufundisi Kamba madzimai eruwadzano


vanomada uye maziso ake aye Dangerous,Amai
Kamba mazuwano vavakufamba navaKamba vakutya
kuti tingamutore."
"Hehede Seka hako Beauty tingadewo Kamba aneiko
uye anorarama nemari yemundiro iyoyo,yema love
offering tikasaendesa chikafu anotamba mukanya."

Madzimai maviri akazobva hawo pabasa apa


pakachaya 4 vakauya varinechekure ndokubva
vaona Mota yaClemence ichiti tande nemugwagwa
kubuda yakauya nekwavari Beauty ndokubva ati
"Aaah shuwa here Sahwie Hure iri kutora murume
wangu here."?

Amai Theresa vakabva vamutsa Crv kutevera mota


yaana Clemence mota yaifamba payakasvika
pamaRobots yakangodarika isina kumira
pavakazosvika pamarobots paya ekupinda mutown
uchibuda nepa Showground.
"Muchiri kuiona here Np 200 iya Amai Theresa."

"Handichaioni ini shitt".

"Clemence achanetsa mhani makati zuro haana


kuuya kumba nenguva here.?"

*"Hongu akauya kuma 11"*


"Chikafu akudya here asikana."?

"Kwete haasi."

"Akauya nhasi musafe makati bufu Mangwana moisa


muto mu Wish yasara yozama kuva......"
*Gwinimbi*

Ndobikei imi musingadyi zvatobika nhai Ambuya."

"Bika Chete ndokurova gumbo rakakuvara iroro


Gwinimbi izvezvi vanonoka kudzoka vaitaura vaine
kupopota mukati asi ndaida kuvabvunza kuti inga
makuseni wani vabuda vakaenda kubasa vachifara
wani ndiyo nguva yandainge ndaenda kundoforera
basa musi wese ndini ndaibika zvoti kubanda
kwegumbo haa nhamo yekurama yakaoma shuwa
ndakatanga kufunga kuti ndikasatoshinga semunhu
wemurume hupenyu hwemhuri yakasiiwa naBaba
hunoenda musango pachokwadi chaipo, nekuti
hutsinye hwaa Ambuya hunotobhowa sechironda
chiri parurimi veduwe.
Ndakagara ndichiona bhora ndakaona Ambuya
vaenda kubhedhuru ravo ndakanzwa vachichema asi
vaiita sevataura kuti.

"Clemence ndakanyatsokutadzirei nhasi uno


hauchauyi kumba zvawavakuda kutora Amainini ini
wanyatsokundipedza,inga wakati uchandichengeta
wani nhai Baba Cathy asi Chiiko chakakupindai
mupfungwa dzenyu ndinenhumbu yenyu hamuhwewo
Tsitsi here nhai Baba vaCathy."

Mbuya yaidemba demba iripamachira ndakabvapowo


misodzi yavakubuda nekutiwo hapana rimwe zuva
randakamboonawo Ambuya Beauty vachiita
zvevarume chero havo vachitiitira hutsinye munhu
hauipe,pese pane divi raunotorevererwawo zvee.

Ambuya vakachema kusvika vaenda pa Floor


"Ambuya vanenhumbu nhai."

Ndakazonzwavachiedza kufonera Sekuru asi nhamba


yaingonzi not Available

at the moment.

Saka imba iya iyi yazopinda Chin'ai weduwe


takasvika pakukotsira tikatomuka Sekuru vasipo.
Ndakamuka asi ndakaona maziso Ambuya akaita
kuzvimba vaine misodzi pamatama ndakavakwazisa
asi inzwi ravo raishoshoma.

Ndakaona Ambuya vachienda kuna Mhamha.

"Tete mamukasei."

Ndakashamiswa nazvo kuita hunhu kwaAmbuya


Beauty nekuti vanototi iwe Makanaka.
Amai vakadaira havana kuratidza grudge nemunhu
ndizvo zvandaidira,Amai vaisachengeta chigumbu
kumunhu.

"Mamukaseiwo, Amaiguru."

"Tete bhudhi venyu havasi kudzoka,kumba."

"Chii chakaita zvidaro nhai Amaiguru."


Ambuya Beauty vainge vombobata
muromo,manzwi.achiramba kubuda mumuromo
misodzi ichierera chaiko,ndokubva vazoti.

"Ndaimbovanyima Bonde."

"Ndizvo zvakaita musha wenyu udai Amaiguru


zvotoreva kuti kunze uku akapuhwa zvaaida
saka.Amaiguru mukaita zvekutamba tinotaura
zvimwe uye mukuratidza semakazvitakura."

Ambuya Beauty vainge vochema kubuda misodzi


pamatama chaipo.
Amai vakabva vaenda kundogeza havo.

Ndiro zuva randainge ndanzi ndiende kumba kwana


Meena ndakarova mucheno ndokubva ndakwira
Kombi yaindonondisiya paChipatara ndakadududzira
kusvika ndasvika ndakaona Meena akandimirira
pamaraini pavo ndakasvikopuhwa Hangaiwa naye
mbunde handei takabva taenda kumba kwavo
ndakavhunduka nezimba rana Meena weduwe.

"Ko wavhunduka kwakanaka here nhai Darling."


Ndakapinda ndokubva ndasvikondomhorosa Baba
naAmai vainge vakagara hapana akatambanudza
maoko kuda kundimhorosa.

"Amai naBaba uyu ndiye Mukomana wangu


wandaitaura anonzi Gwinimbi."?

'Gwinimbi unoita nezveiko nhai mufanha."?

"Ndosevenza sa Auditor kuChibuku."


"Ku Chibuku koshanda vanhu vanemadondoro kudai
haa Meena apa wakatadza kuona mwanangu ndoda
usiyane nembwa kutu inemadondoro iyi nhasi peka
uende kuMsu izvezvi.

"Iwe Gwinimbi buda muno ukutinhuwidza ziya


renhamo Meena acharoorwa,nevakapfuma saye you
will never meet her class mwedzi unotevera
tikundogara kunogara vanhu kuBrooke pano toisa
maroja saka buda zvataurwa naBaba."
Ndiyo nguva yakapinda Tete vaMeena Tete Chipo
ndokubva,vati "Gwinimbi usa...

*Gathsmine.*

Pandakatumira mamhepo ose kuna Dickson


ndakanzwa mufaro wakapetwa,runa chokwadi nekuti
mukoma,Jeisa vainge vandipinza pakaoma
pakusvika kupisa mbesa dzese here ndakatakura
hangu kamari kanokwana zviuru zvishanu
zvemadhora kunoona Mhazi ndakasvika Mhazi
vachirova Bute ravo havo ndikaziva kuti ndaita
rombo rakanakisa kuvawana varipo.
"Mamukawosei Mhazi."?

Ndaimhorosa ndichiuchira maoko angu zvangu


ndokubva vati.

"Muzukuru ndamuka kana wamukawo."

"Ndamuka,irisei Mhuri Mhazi."


"Mhuri itsvene muzukuru wavasiyawo seiko ikoko
vapwere."

"Ndavasiya varibhoo."

"Muchiona ndauya Mhazi ndauya nemakwati enyu


aya zvaita."

Sekuru vakafarira Mari ndokubva vati "Dickson


achatamba mukanya mira uone muzukuru izvezvi
aida kutsvaka N'anga manje Jeisa akatsamwa gara
watotenga Box,rake nengozi iyi gore rino haaripedzi
mupfanha wako uyu."

"Shuwa here Mhazi ndikutoda apfeke marengenya


pfanha aida kundiuraya kumba kwake akanditadza
ndiyewo,umwe Satan imba,neboutique ndikuzvida
Sekuru zvikundirwadza kuti akaenda sei kuDubai ini
nekurima handisati,ndambokwiramundege Mhazi."

"Zvishoma,muzukuru ndiripano Sekuru


vako,zvaunoda ndokuitira usambotya hako Dickson
akuenda muhapwa mako sevhudzi wobva
wangomugera Oita marara."

Gathsmine akabva afonerwa naAmai vake


Arimudare raMazi akaenda nechekure ndokubva ati
''Hello."

"Mwanangu washinga kutora makombi emufi.pamwe


nepurazi rinemombe zvausina kushandira uneshuwa
here izvezvi Dickson akadya Mari yangu yemaroja
kumwisa Hwahwa vanangu munonamata here imi
moyo yenyu yakaoma samabwe hamuna tsiye
nyoro,kufa kwedangwe rangu Jeisa ndoona muine."....

Ndakadimbura nhare nekuidzima mashoko aitaurwa


na Amai ndeekupenga pfuma ndeyangu iyi ndini
ndakaita kuti Jeisa afe seSecond born ndichiudza
rugotwe urwu Dickson rine mikaka pamhino iri saka
ndini ndakatora zvizhinji saMukoma anemazano zvee
Jeisa kufa kwake kwakatondinakidza nekuti upenyu
hwangu hwachinja kuita marombe kwevana vake
hakunei neni chero yangu mhuri ichiguta.

Ndakaoneka Mhazi.

"Ndavakuenda handichapinda,mumba

ini Mhazi toonana Sekuru."

Ndakapinda munzira kudzokera kwedu munzira umu


ndaingonyemwerera zvangu ndichingo caver pakona
ndakaona uno mukadzi mutsvuku achidarika
nemugomo nekumhanya kwaita mota ndakayedza
kuda kutsika mabhiriki asi ndakayerekana nda.......
*Clemence*

Rudo rwangu na Dorcas kuita kunaka serakaiswa


huchi ndakanyatsokuona rukudzo rwandaipihwa na
Dorcas rukudzo rwandainyimwa naBeauty mudzimai
wangu wehumandara aingokukudza kana aine zvaari
kuda chete akazviwana munhu oti kwindi
ndakatanga kushora vabereki vangu Kunyanya Baba
vangu vaChidzero vakaenda kundova nashe
vakandipa pressure yekukasika kuroora ndavaratidza
Beauty kuti ndiye musikana wandava kufambidzana
naye iii Baba vaida Muroora wavo asi ini ndaida kuita
nguva yekudzidza.munhu wangu hunhu hwake,asi
Pressure yaBaba yakabva yaita ndimhanyire kuroora
Beauty uyu.

Tirikubasa ndakange ndaenda na Dorcas asi


ndakabva ndamuti "Nhasi tonodyira kuMambo's iri
pedyo nekuExpressions kunogezeswa mifanaidzo
muna Park Street." ndiko kwandakaenda nechiponda
moyo changu Dorcas takanodya ikoko food yedu
nekuti kuna Construction ndaitya kusangana na Mai
Cathy vauya naMai Theresa zvee apo zvikutoratidza
kuti Amai Cathy vakazvitakurawo tiri pakati pekudya
mumambos Dorcas akabva asimuka ndokuenda
paBin akatnga kurutsa zvekare.
"Shitt Dorcas ane nhumbu yangu zvekare chegore
rino chichandibvisisa mazino kumba kwa Beauty
nemai yakauya ndonodirwa mafuta chete ndikaitwa
nguruve apo Dorcas akazvitakurawofuti ndakademba
demba weduwe kuti ndakange ndatangisa musindo
chaiwo nyaya yangu yekushaya kumirira
kwayandisvitsa zvino ndoita here vakadzi vaviri
takabva tabuda kuenda kubasa ndiri munzira
ndakaisirwa, message naPhineas.

"Mukoma Mhuri, yenyu irikuno ikutonyepa kuti


paitika rufu ndatovati mabuda na Dorcas
becarefull,kubviswa mazino nenyaya dzenyu dzekuda
madzimai idzi."
Ndakangoseka hangu ndokubva ndaona Crv
yakamira ndakaseka zvangu kuti madzimai
aya,kundivinga kubasa vanondkwanisa here
ndakazoona Amai Theresa vakanditarisa naAmai
Cathy mudzimai wangu ndakabva ndabuda mumota
kunyepera kutaura na Guard hangu ndokubva
ndapinda neZimbabwe yangu yaiva paMotherseat
ndaive ndakayeva runako rwaDokkie ndainge
ndongonzwa kuda kumukisa,mhani.

Nguva yekuenda kumba yakasvika ndakatarira


mativi ndiina Dorcas wangu parutivi kokutyei zvangu
ndakadiwa naDokkie ndakaiona Crv ndakasinudza
Np200 yekubasa zvesvoto.ndakadarika red robot
repaShowground kuinzvengazvee Amai Theresa
should learn to mind her business."

Takazosvika kumba naDokie akati 'kokumhanyisa


mota indava futi 'Baby vavengi vandaitiza zvee.'
'Daddy ndoda tingove vaviri pashaye umwe
anotikanganisa rudo,rwedu ndakutakurirai kamwana
mudumbu umu."

"Mirandinzwe kuti kakukika here."

Ndakaisa nzeve padumbu raDokkie ndokubva


ndanzwa kachikika.zvee."

Mwana wa Dokkie akauya ndokubva ati "Daddy


mandivigireiko nhasi."

"Guess some chocolate baby."


Ndakakapa kakafara kuuya kuzogara
pamakumbo,zvee kachipurizira ndebvu.

Ndakabva ndati kuna Dokkie.wangu.

"Dokkie l.want you to be. My better half ndoda


ku......"

CHAPTER 17

"Dokkie I want you to be My Better half ndodawo


kuvenewe kusvika ndafa Dokkie."
Dorcas akabva atendeuka ndokubva asiya mapoto
ndokubva amadzima akabva araira kamwana kake
kaive pamakumbo a Clemence kachidya chocolate
kaende kuroom yako kondoita homework kamwana
muromo umwe kachibva pamakumbo Dorcas akabva
abatidza radio ndokubva aisa rwumbo rwaJah
prayzah rwunonzi Chinamira.(pungwe kusvika kwati
ngwee.)

"Are you serious here nhai Clemence,but."

"But what Dorcas."


"Ko Gulez uchadii? navo nekuti handidi murume
wekushare sechimbuzi Clemence,please bae."

"Ummm Dorcas give me sometime ndinyatsokufunga


nezvazvo mudiwa."

"Yaa nekuti ndoda uve Clemence wangu ndega


handidi wekukweretesa semunyu ini ko Mukadzi
wako akatanga kutsvaka ma (Blesser) iwe uchiuya
kuno what next."?
"Dokkie nhasi ukudhipisa nhai."

"Eeh hangu swty."

"Huya upe Dady Kiss Dorcas."

Dorcas akamboda kutizakumasofa "Manje


ndikakudzingirira chete Dorcas hameno hako."

"Whatever".
Vaviriri vakatanga kutemana nemapillow emasofa
vachimhanyisana Dorcas akazomhanyiswa achitiza
paakaneta akabva anzi nayo nwaa tsvodi Dorcas
akatanga kukakata rurimi rwaClemence
vachidhonzana pamwe nekudyanana mate vaviri
vainge vavamudenga rechinomwe vakabva
vangonopanana michero yerudo kubhedhuru ravo.

Dorcas akabva azevezera munzeve maClemence


nenzwi rinotapira setsvigiri kuti "Clemence ndokuda
nhasi usadzokere kumba unoenda mangwana
pungwe kusvika kwati ngwee."

"Ummm nhasi ndikuda uswere uchindipa


muchero,werudo Clemence."
Tumisodzi twaibuda mumaziso a Dorcas Clemence
aive oda kuenda kuna Beauty Mukadzi wake asi
akabva atoona kuti Dorcas nhasi arimuhasha.

"Please don't go l have been waiting so much long


Clemence ndikakushaiwa handigoni kurarama
mudiwa."

Munguva iyi Dokkie akapa Clemence imwe tsvodi


yakavhiringa Clemence pfungwa dzake mhando
yerudo urwu aive asati ambosangana narwo
muhupenyu hwake vaviri vatanga kukungurutsana
zvekare mubhedhuru umu paive pasangana vanhu
vanonzwirana,nzara apa vaviri vakapanana kudya
kwerudo zvakare kusvika vese vati tasa kurara
Dokkie aive odhonza vhere dziri pachipfuva chaClemi.
"Mangwana hatiendi kubasa mudiwa tomboenda
hedu KuLake tindogocha hedu."

"Good idea." vakazomuka vanzwa kugogodzewa


kwemukova ndiyani.

"Ndini...."
*Beauty*

Takange tafambira dhongi rakaora weduwe


Clemence kubva atotiza nepfambi pamarobots eku
Show Ground motokari yake hatina kuzomboionazve
takadzokera kumba ndokubva ndati kuna Amai
Theresa.

"Vasikana ini wangu munyama here nhai ndoti


murume akuhura kana mari yaambosiya zvayo nhai
izvezvi nherera dzake dzikuda kudya Gwinimbi na
Gundani vanorova chidhinha chesadza hupfu
hunopera ndotangira paiko kuchengeta makatsi
bonga arikumba uku nhai Amai Theresa."
"Shingai Amai Catherine koiye Catherine Haasi
kusevenza here.?"

"Akusevenza hake asi hatisi kuwirirana


kungomhorosana chete nherera dzacho anodzida
zvisingaite."

"Hoo Sahwira ona kuti wadzinga nherera nekukasika


dzivate musango naAmai vadzo."
"Iii Sahwira hauoni ndinenge ndaita hutsinye ndivo
vakundibatsira basa vakaenda Catherine
handimugoni, Sahwira haa izvozvo hazvibude manje."

"Ita zvaukufunga."

Takazosvika kumba ndokubva Amai Theresa vati


"Isai Mari yemuto pafoni asikana tiende kundobata
hure iri,pomene mangwana."
"Asikana Mari handichina ini."

"Sahwira honaka it's better kuchimbidza nekuti


Clemence wako akasakasikirwa tichazvitadza izvi."

"Tsvaga tsvaga Kuna Catherine Mari yefuel."

Ndiyo nguva yakasvika Catherine akaita kuchena


akaisa maEar phones Amai Theresa vakamukwazisa
akabva akwazisawo Amai vake vakadaira vakapora
akabva apinda mumba vakazoti vati gare gare
varikunze kweghedhi vakazoona Gwinimbi
nemadondoro ake achiuya Amai Cathy vakabva
vasvipa,mate pasi "Chiiko Sahwira chaita musvipe
mate."

"Icho chi Gwinimbi chikufamba nemadondoro icho


ndakachivenga mhani chimwana ichi ndakutohwa
kuda kurutsa."

"Iii Sahwira ndiye wawaitaura inga I Jaya kwaro


wani."

"Mheno ikoko Amai Theresa."


Gwinimbi akazosvika pedyo pedyo ndokubva asvika
pana Ambuya vake "Maswerasei,Ambuya."

"Taswera hedu."

"Maswera here?."

"Taswera hedu isu."


ava ndi Amai Theresa vakadero vachidaira Gwinimbi

"Ko Muzaya wangu ukubvepiko wakachena kudai."?

"Ndirikubva kumaraini hangu."

"Asi wanga wabva kunoona Meena here."?

"Hongu Ambuya."
"Nemwana uya hamuna kumbofitana henyu Evelyn
ndiye akakufita zvisingaite,perfect match."

"Kuti kudaro here nhai Ambuya inini ndinoda wangu


Meena chero nzira ikava nemakata handisi
kuzomusiya Meena uya."

"Pano pamba pangu handidi kuona gumbo rake


ukunzwa here,monoonana kumapani."
"It's okay."

Gwinimbi akaenda mumba "Sahwira unozvikwanisa


here kupatsanura Meena na Gwinimbi uyu pane
Ambuya vari kuHighfields vanozvigona
tikandovazama murume wako anodzoka kubva kuna
Dorcas Meena na Gwinimbi,vorambana.

"Hatirwi nenyama neropa Sahwira kana kuri


KuN'anga kwete imba yangu inodzoka nekunamata
kwete nemudzi waSangoma."
"Ndiwe unedambudziko kana zvorwadza
uchanditsvaka toenda Highfields."

Amai Theresa vakataura manzwi awa vachikinura


engine yemotokari yakabva yamuka vakabva
vaimutsa motokari vachienda kumba kwavo kubva
zvainge zvaonekwa dumbu ra Beauty raive rakuita
kakuonekawo zvee.

Beauty akapinda mumba ndokubva atarisa


mubhedhuru kuti hamuna kana mari here akaishaiwa
sezvo aive aziya nenzara akazonanga kuna
Makanaka aive achibika chikafu chemauro.

"Masweesei Tete mungabikawo nechanguwo here


ndaziya nenzara."
"Amaiguru pihwai chingwa chatengwa na Gundani
iwe Gundani vapakurire usavi vagoona kusevesa."

Ndakatora ndikanodyira kubhedhuru chikafu chacho


hachina kuzombonaka ndakufunga Clemence wangu
apo mbozha nhare yake yairamba Sadza rakaunzwa
na Can Cathy ndakangoti nyobvo nyobvo ndikarisiya.

Misodzi yakatanga kuyerera pakachaya 11 ndiri


ndega mumagumbeze apo ndaive ndakakururira
murume wangu kuti anowana zvidyiwa zvake
zviripachena asi murume haana kuuya ndakawedzera
kupfikura ndichibata dumbu ndakatanga kutaura
kudumbu "Nhai mwanangu Wandakasenga kudai
wova murambiwa here Baba vako vave kitsi yesango
havachadi kudzoka kwauri vokuona imhosva here
kuti ndaimbovanyima bonde zvaita vandisiye
ndichinanairwa nemosquito."

Beauty aichema 12 dzakasochaya achidemba


nhamo,dzake Beauty akazozama kufonera Clemence
asi nhare ya Clemence haina kupinda zvamuchose.

Pakaedza Zuva Beauty akamuka kumeso kuine


misodzi.

Makanaka akazviona ndokubva ati "Amaiguru chii


chikunetsa nhai kubva matadza kutaura kwandiri
Tete venyu."
"Hanzwadzi yenyu haina kudzoka kumba zvakare
nhasi ndavata ndichingorumiwa nemosquito."

"Come on Amaiguru musanyanya kufunga


mungazopise mwana mudumbu neBp makumbo enyu
akatozvimba please sit and relax Amaiguru
ndichafonera bhudhi vadzoke tiwone kugadzirisa
nyaya kana vane Chipare vabva vangobuda pachena
pane kungo bwidirika zvisina nematuro
kwavarikuita."

Ndakaswera ndichiudzwa nyaya dzinonakidza naTete


Makanaka ndivo vaindibikira kana makumbo angu
aive akazvimba aive aserera ndichisekeswa
pakazodoka zuva takanzwa "Gugugu."
"Ndiyaniko?"

"Ndi"

*Gwinimbi*
Ndiyo nguva yakapinda Tete vaMeena Tete Chipo
ndokubva vati "Gwinimbi usabude hako"

Misodzi yangu yainge yavakubuda ndakufunga


hupfumi hwakapambiwa nevanogona nhasi uno
ndonzi Meena wacho haaenderani neni dai vaiziva
kuti ndirimupfumi vanhu ava vaisambohumana
kudaro imba yaBaba vangu yakakura kuita sehotera
yoti Upstairs makamuri akawandisa.

Haa regei tiwone kwazvinosvika zvana Dickson


maJudge vakamatenga vakahwina nyaya asi
chisingaperi chinoshura regei tiwone kundowira
tsvimbo nedohwe ndakabva ndagara ndakatarisa
Tete Chipo,vaya ndichifunga pfuma yangu asi Chiiko
pandiri asi ndakazorwa matsito nevedzinza kuti
ndisaonekerewo pane vamwe.
"VaHanzwadzi nyaya dzevana ava ndaikumbirawo
mutambire zviripo Gwinimbi anodiwa nemwana wedu
dai tambomisa ruvengo vana vodanana ava Gwinimbi
ndiye anemakomborero ese.."

*"Tete Chipo svondo rapera,Mwana wenyu Shamiso


haana kutizira here? Kuna Sabhuku Chidota
kwaMurambinda uko nhasi moti Meena
wandakazvara mwedzi minomwe odanana
naGwinimbi asina nemota inoridza bhero zvayo haa
uyu Class yake zvigunduru zvirimudhorobha uye
akaita nharo Gwinimbi uyu rushamu rwake rwune
babbed wire ndapedza."*
Vakadaro Amai va Meena.

Vachitobva vatobuda mulounge vachisiya Tete na


Baba vaMeena Baba VaMeena vakabva vati kuna
Meena "nhai Meena mwanangu unoda here
mukomana uyu ."?

"Hongu Baba Mukomana ndinomudisa samare."

"Gwinimbi ukuzvinzwirawo taurawo apa,unoda


Meena here.?"
"Hongu ndinomuda Meena uyu zvisingaite."

"Vanangu ini SaBaba ndadzora moyo wangu uyu


ndoda muchengetane zvakanaka Gwinimbi hatizodi
kunzwa kuti wavanemumwe musikana futi
tokudimbura gumbo."

Tese takabva tati bvuu kuseka.

Baba vaMeena Vakafara vese na Tete at least


ndafarirwa ndakafara 2 against 1 ndakafara
zvisingaite.
Ndakadaidzwa parutivi na Tete vaMeena "Ndapihwa
kamari aka nabhudhi vati undorapiwa gumbo rako
upore zvaitika paya siyananazvo Sharon muroora
wangu anemoyo wakashata."

"Bhudhi vangu vabva vakasika kuchinja moyo kuda


kutevedzera mudzimai wavo soo Gwinimbi ubate
Meena zvakanaka please."

Ndakazoperekedzwa nechiponda moyo changu


Meena akazondisiya kwedu ku2 nemota dzekumba
kwavo.
Ndakuda kuvhura Door ndakaona Meena akuchema
ndakabva ndamubvunza kuti "Ko Honey
ukuchemeiko nhai."

"Nhasi ndikuenda kuMsu mudiwa kwandikuita


Degree in Business Management."

"Hoo inga ndizvo zvauri kuchema."


"But Gwinie please Becareful vana Evelyn vakazara
munyika umu usazorwadzisa moyo wangu."

"Kana mudiwa handidero."

Ndakabva ndamutsvoda padama ndokubva ndabuda


mumota ndini tande kuenda kumba ndakasvika
kumba ndikaona pagedhi paine Crv ndakaona paina
Gogaz neumwe Mukadzi ndakavakwazisa ndokubva
gogaz yati.
"Ko Muzaya wanguUkubvepiko wakachena kudai."?

"Mumaraini umu."

"Hoo asi wanga wabva kundoona Meena kasi."?

"Hongu Ambuya".
"Nemwana uya hamuna kumbofitana henyu Evelyn
ndiye akakufita zvisingaite ,perfect match."

"Kuti kudaro here nhai Ambuya inini ndinoda wangu


Meena chero nzira ikava nemakata handisi
kuzomusiya Meena uya."

Pano pamba pangu handidi kuona gumbo rake


ukunzwa here,moonana kumapani."

"It's Okay".
Ndakavadero ndichipindamumba.

Ndakaisa mbozhanhare pacharger hangu kuti


ndimbozorora asi pfungwa dzangu dzaifunga pfuma
yatakapambiwa haingarove isiri mumaoko angu vana
Dickson,naGathsmine vaidya nhoko dzezvironda
vongomuka vari mushuga haa no-no vakatunhidzwa
mhani vanaBabamunini vangu rushamu rwavo
rwuchaita vakwenye gwenya kwenya chete pfuma
yangu ini vondivharira panze ndakafumobata jongwe
muromo kuenda kuJeisa Boutique iri pedo nekune
Eastgate ndakasvikako asizita rainge rachinjwa from
Jeisa to (Classical Fashion) ndikaona muine hembe
svinu ndakapindamo,vamwe vashandi vaindiziva
vanonzi ana Patison naSunny vakauya pandaive
akanditarisa ndokubva ati "Aaah Gwinimbi uriko."
Uyu aive Patison

"Ehe."

"Kubva zvakafa Baba vako hauna kuzoda kuuya kuno


ko Babamunini Dickson ndivo vavakurunner sei iwe
Jaya rikuru uriko sei."?

Misodzi yangu yakabva yatanga kuerera ndichida


kutaura."

"Iwe Patison wakuita nyaya nemaCustomer siya


mukomana uyo aende kana asina mari."

Ndakavhunduka nenzwi randakanzwa ndera...........


*Gathsmine*

Ndakapinda munzira kudzokera kwedu munzira umu


ndaingonyemwerera zvangu ndichingo caver pakona
ndakaona uno mukadzi mutsvuku achidarika
akatsigana nemugomo nekumhanya kwaiit mota
ndakayedza kuda kutsika mabhiriki asi
ndakayerekana ndabhagura mudzimai uya ndokubva
aenda mudenga mugomo wake wakarovera pagirazi
rekumberi,ndokubva paita macrack ndakamisa
motokari ndokubva ndatarisa mudzimai uya achibuda
ropa mumusoro ndakatarisa mukanwa make
nemumhuno muchibuda ropa ndakabva ndadzokera
kumotokari yangu ndokubva ndaimutsa kuenda
kumba ndakasvika ndikaisa mota mugarage
ndokubva ndaenda kundogeza.

Ndakasvika mumba ndokubva ndabiwa nehope ndiri


pasofa "wandidhumireiko wandidhumireiko."

"Handina kukudhumha ndichida ini."

Ndakazonzwa ndichisundiwa.

"Mukutaura nani nhai Baba Pana huh ndiyani


wamadhuma,huh kunzira kukunzi
kwadhumiwamukadzi Baba Baba Pana."
"Imi taurai mhani."

"Adzimai ndadhumha mumwe mukadzi manje


ndikaendako ndosungwa anogona afa mukadzi uyu iii
ndava kutya ini mhani."

"Ndakambotaurawo nezvefuma ya Gwinimbi honai


ropa,risina mhaka ramadeutsa moti.."

"Pwaaa."
"Iwewe wakatanga kutaura neni nezvepfuma
kutanga rinhi uchitaurira nenzwi rakadai kubva rinhi
ini Baba ndini ndotaura padenga ndokurova ukafa
wanzwa ndini Babavemusha ukunzwa panekuti
undibatsire ukupa ini mhosva tese takauraya
pfumayawakagarira ndeya Jeisa so Shut up."

"Shuwa ungandirove Gathsmine iwe huh nhasi


tinopedzerana ."

Mukadzi akabva anhonga poto muvharo wakapotsa


Gathsmine asi poto ndiyo yakazouya paari ndiye
bhooo ndiye ......"
"Gathsmine Gathsmine sweetheart".

Sharon aive akutya nezvainge zvaita murume awa


pasi

"Murume wangu muka kani daddy vevana kani."

CHAPTER 18

"Ndakavhunduka nenzwi randakanzwa ndera


Babamunini Dickson.
Ndakaramba ndichifamba ndichibuda muBoutique
muya kana Patison haana kuzoda kutaura neni ini
ndakafamba kusvika ndasvika kumakombi kuinda
kumba kwedu mazuva mana akasvika ndisina kuona
gumbo raSekuru Clemence ndakaenda
kuParirenyatwa kunoonekwa gumbo navana
chiremba vakaita mascan avo vakazounza maresults
ndokubva vati.

"You are now recovering well from fractured leg


Gwinimbi."
Ndakazodzoka kumba ndichifara kuti ndavakupora
weduwe Mwari vainge vandinzwawo weduwe kudaira
munamato wangu kuseni ndakafuma kugeza muviri
ndokupfeka Shirt yakanzi Chibuku ndakafara kutiwo
ndakusevenzawo ini nhamo yehurovha yakuzopera
manje ndavakunyatsokupinda,muhupfu ini.

Ndichida kubuda ndakasvika Mudining Ambuya


Beauty vakabata shaya ndakasvika ndikavamhorosa
"Mamukasei,Ambuya ."

"Tamuka wachenera kupi,Muzaya."


"Kubasa Ambuya."

"Kubasa wakapfeka hembe yekuChibuku asi ndiko


kwawava kusevenza here."

"Hongu ndiko kwandavakushanda."

"Kubva watadza kuudza Ambuya vako here nhai


Gwinimbi."
"Haaa Mbuya maisabatika makazvitinya mubhedhuru
menyu koSekuru varipi."?

Ambuya vainge vavakuyeredza misodzi pamatama .

*"Gwinimbi makorokoto Muzaya wangu iii ndafara


wakushanda,zvaSekuru vako zvotoda vakuru
vanofamba naJesu ndakamboedza kufona asi foni
yacho ikungopinda isingadairwe kana kabodzi zvako
Muzukuru chienda totaura wadzoka
ndingakunonotse."*
"Zvakanakai Ambuya vachadzoka Sekuru (What goes
around comes around."

Ndakaenda kubasa ndokusvikotanga kushanda


zvangu zvakanaka,pabasa rangu.

Ndakafonera Meena ndokubva yadairwa "Honey


urisei mudiwa wangu."?

"Ndiribhoo Daddy ndaenda kuMsu mosara bhoo


ndikukufungai."
"Kana ini ndikukufungawo mudiwa please
Meena ,usazoita zvikomana ikoko kuchikoro ndiise
pakati pemoyo wako,ukangoputsa chirangano
chatakaita kumba kwenyu ungandigumbure."

"Handimbodaro kani Daddy Gwinimbi ,moyo


ndewenyu uyu."
"If you ever left me Meena that will be my first,
heartbreak."

"Ummm daddy."

"Yes that means l really love you cause am afraid to


make mistakes."

"Daddy makuita too deep ndoramba ndiinemi byee


ndakuda kurongedza mabhegi fonai later."
"It's ok Meena wangu."

Ndakagura nhare yangu ndokubva ndaita zvekuinda


kumba ndakasvika pamba,pasina nearipo zvake
ndakabhowekana mhani nzara zvayaive yandiita Soo.

Ndiyo nguva yandakabuda kuenda kunochera mvura


ndakazongonzwa kamunhuwi keperfume
"Ndokubatsira kuchera here mvura."
Raive izwi dete raitaura sere mugwere.

"Aaah Evelyn urisei wanditsvaka kuno kwakanaka


here.?"

"Mmmmm handione panechakaipa nhai Gwinimbi


kutsvagana ndaona kumba kukubhowa ndikati regei
ndiuye kuzokuona."

"Aaah nhai Evelyn ungavinga ini mukomana ko hauna


shamwari dzechisikana biyako here."?

"Handina Shamwari ini ndotoda uve shamwari yangu


iwewe Gwinimbi."?
"Kwete ita hushamwari nemukomana wako."?

"Handina mukomana,ini."

"Jeso ini hangu handifarire kuve shamwari yako."

Ndakaona Evelyn achipusa kunge huku yanaiwa


ndakazamakusimudza mabhaketi angu emvura
ndikanzwa kugumbo kwandakakuvara kodaira.
"Siya Gwinimbi ndosimudza mabhaketi awa hona
wakuwedzera gumbo rakakuvara."

Evelyn akatakura mabhaketi aya ndakaenda


ndakukamhina zvekare ndokusviko buritsa hembe
panze neSurf yekuwachisa ndakadzokera
ndakashamisika kuona Shirt yekuChibuku
ichitowachiwa ndakasvika ndiine hasha
ndichigadzika,dondoro rangu pasi ndikati.

"Wa.......
*Dickson*

Ndakaswera ndichinwa manginde angu pamba


ndichigocha nyama ndaipemberera zuva rekuzvarwa
kwaCharmaine mudiwa wangu vanove Ziku Amai re
Africa yangu mukadzi uyu ndomuda hangu
ndakagocha kusvika ndaneta ndakazoenda kuPool
ndikatanga kugaya kuti ndodiiko nenyaya yemunda
una Mukoma Gathsmine kwaMutoko uyu purazi
ndikurida iri zvemazvirokwazvo ndiri pakati pekufara
ndipo pakapinda nhare asi dzaive new number.
"Babamunini huyai kuno Mukoma wenyu angoti
zii,kuno."

Inzwi ndakariziva rwaive inzwi rwaAmaiguru Sharon.

"Chii chaitika nhai Amaiguru."?

"Vangodonha ava."

"Vachiiteiko."?
"Huyai Babamukuru please,muone zvirikuno hakuna
kumira,mushe."

"Ndouya sei musiri kutaura zvaitika nhai Amaiguru."?

Nhare yakabva yadimbuka ndokubva


ndadaidza,mudzimai,wangu Charmaine aive
achicheka ziKeke rake,rekusvitsa 36 years
achirarama.

"Sweet uya pano".


"Kwakanaka here nhai BabaJacob."?

"Hakuna kunaka Uku ndafonerwa naAmaiguru


Sharon varikuti Gathsmine angodonha
saka,ndakutoendako Blood is thicker than water."

"Ko kana iri way yekuti Gathsmine akupondei nhai


Baba vemwana."?

"Ndoona ikoko kana ndafa Mochengeta vana."


Ndakaenda kwa Mtoko.

ndakasvikako ndikanzwa nyaya Yekunzi "Mukoma


vadhuma mukadzi aive nemugomo,ndakabva
ndatondera musi wakaramba kumuka motokari
kumba kwangu,ndikazoidzidira munyu wemagodo
dzosedzikamuka saka zvoreva pane chivanhu chete
apa Jeisa anenge asiri kufara Nefuma,yake manje,ini
handisi kuzoirega kunaka kukuita Mari dzeBoutique
kana vaida kumuka chipoko vangamukire
veropa,here tiriveropa rimwe wani haina kuenda
kumutorwa fuma iyi.

*Ndakazvisimbisa hangu ndakabvunza mupurisa kuti


"ko Ndiyaniko akakuvadza Mukoma kuchiso uku."*?

"Amaiguru venyu varwa nemukoma wenyu kumba


vakatema Mukoma nepoto mumusoro."
Ndakaenda pana Amaiguru Sharon ndokubva
ndavarova mbama yakaita maungira.

"Kuda kundiuraira mukoma wangu asara


nepoto,ndiwe wakandiuraira Jeisa urimuroyi,mukadzi
iwewe ndozvawanga uchivanda pawafona ndiri
kuHarare akangofa Gathsmine pano unopabva
sembwa."

Vanhu vakakanuka nehunhu hwangu zvee.


Ndakamboda kuzama kufonera Amai vari
KuChiweshe,kuti vazive kuti Gathsmine apuwa
mbonje nemukadzi wake.

Takazoenda kwaMtoko kuChipatara ndakasvika


vachitoisa Mukoma muAmbulance.

"Condition yake ikuda kuChipatara chikuru."

Pakabuda Doctor ndokuuya pataive ndokubva ati


"Eeh tinehurombo,kutaura izvi Martha Mapiye
adhumiwa nemota naGathsmine Chinoura ashaika
Izvezvi."
Misodzi yangu yakatanga kuchururuka yega
kekutanga kuchema ndanzwa kufa kwemunhu.

Ndakaenda pachistub ndikatanga kuchema "Mukoma


Gathsmine kutisorera ngozi here nhai mumhuri."

Takaenda kumba hedu ndokubva tagara tichitandara


ndiyo nguva yatakanzwa kutinhira kwemota zvee
panze takabuda tese taive tichitandara ticgionesana
nenyaya yekufa kwa Martha,ndokubva taona vanhu
varikuuya nemunhu akafukidzwa neJira
akabatiranwa ndakaenda kundochingurana navanhu
vaye ndakandovhura kuwona.

"Ndi......"
*Beauty*

Takanzwa "Gugugu."

"Ndiyaniko uyu."

*" Amai Chipo"*


"Amai Chidzero handisi kupinda mungauyewo panze
here."?

"Ndirikuuya."

Ndakasimuka ndiine mibvunzo "Amai Chipo


vavakudeiko nhai."

"Maswera here Amai Chipo."?

"Taswera kana maswera."

"Eeh Amai Chidzero ndine zvandaona kudhorobha


uku hana yenyu yakasimba here."?

"Hongu."
"Ndaona vaChidzero,vaine umwe mukadzi
kuMambo's iii ndavatora,mifananidzo.vachidyisana
kusvika mukadzi wacho arutsa mubin."

"Nhai Mwari waShadreck naMisheck naAbedinego


mumoto,Danieri mugomba reshumba, Shuwa
Clemence apindwa nechipfambi Mwari wee."

Misodzi yangu yainge yavakuyerera pachokwadi


ndakapihwa mafoto ese kuzama,kuApp.kuona
ndakablokwa "Munhu wandairara naye mugumbezi
rimwechete shuwa shuwa ndiye avekundidaro nhasi
here."
Ndakandoratidza Tete Maka vakazama nhare
yaClemie isingadairwe kusvika yadzimiwa "Murume
wangu kunditiza nemimba here iyi ndoichengeta
neiko nhai Mwari mambo ndachema kwamuri
ini,Dorcas uri muroyi kutora Baba VaCathy kutadza
kuveza wako wedanda here murume, Tete
ndibatsireiwo ndayaura ini." ndakambundira Tete
Makanaka ndikatanga kuchema kusvika ndapedza
shungu misodzi yangu yainge yanyorovesa hembe ya
Tete,pachokwadi.

Ndakaswera mazuva mana kana gumbo raClemence


pamba handina kuriona ndakademba midzimu yangu
naMwari kuti ndakanyanyanyisa kutadzeiko
zvekusvika pakunditorera Baba vevana 4 vasikana
weChishanu ndiye ari mudumbu why nhai Mwari
wangu murume wangu aenda kudai hure
ranyanyonakeiko achisiya ini.
Mukadzi wemumba chimiro ndinacho wani ukandiona
ndageza unototi Mother makabatana wani Mhuka
inonzi murume ndosaka vari imbwa mhani nxaa.

Amai Theresa vakauya neWish ndakavaudza kuti.

"Muzukuru wangu avekusevenza kuChibuku."

"Hoo."

Ndakaona vachiisa muromo mumhino kana kumboti


Makorokoto nhai.
Saka Mai ineshanje mhani.

"Baba Cathy vatove nemazuva mana vasina kudzoka


Sahwira ndodiiko vakabva vangotiwo zizi vari
kuSmall house Izvezvi mari yekuti ndibvise weave
yangu mumusoro,handina kana kutoti ndiise wish
yako muto tiedze kundovagarira kubasa handina."

"Beauty inga ndakataura wani kuti handei Kuna


Ambuya vekuHighfieds ukanetera Colgate ini
murume wangu akundigutsa nebonde zuva rega rega
rakasikwa naMwari kana waneta kusandurwa
nemosquito uchanditsvaka."

Vakabva vatomutsa Mota ndikabuda shuwa Sahwira


aive ava kundivhairira zveidi chokwadi akairova
mota ini ndikatevera ndorembedza kangu kadumbu.
*Dorcas*

Rudo runonaka kana uchinge wadiwa newaunoda,sa


Clemence murume uyu ndakabvira ndamuda kubva
nditange kushanda pa Cairns food ndaingogara
kunamata kuna Mwari vandipewo , murume uyu asi
denga rine nyasha weduwe ndakatanga kudiwa na
Clemence ndakapururudza kuti ndadiwa mhani
kusvika ndachinyatsokutora murume uyu Gulez apa
vabuda mugame chete kana vaitambisa Clemence
sechikorobho kuno ndiye dish towel zvee Clemence
neni takaona taroorana tava kugara ini nekamwana
kangu asi ndakabva ndamubvunza avete tabva
kubasa.
"Daddy tichandoona Tete rinhiko."?

"Pandoenda kumba ndotaura navo ndovaudza


nezvako."

"So ave mazuva mana saka ukuda Gulez here kana


wakuda ini."
"Dorcas ndokudai mese naGulez nekuti she is the
mother of my daughter,and you too."

''But l don't like to share with someone."

"No baby let's talk"

Ndakambundira mudiwa wangu Clemence ndokubva


tazoenda kuLake Chivero tichigocha.
"Ndokumbirawo tivake imbayedu baby togara
kunerunyararo."

"Sekupi nhai Dorcas."?

"Umm kuno ku Highlands imba yangu iya ndinodawo


kuitengesa pane yandakawona yakanaka samare
mudiwa toda tigare tese muzimba iroro."

"Tonoriwona ikoko,Mari yangu yeLoan ikapinda


tobatanidza toitenga nhasi tondoiwona."
Ndakapuhwa nhare yaClemi ndakabva paari
ndakaona yofonwa ndikabva ndatarisa,pakanzi
*"Beauty my darling."*

Ndakabva ndaisiya kusvika yadzima ndika deleter


call record zvangu ndakazoenda ku app yaClemence
kuona ma msg a Beauty ndakabatidza data
ndikabloka Beauty paApp ndikaenda kwaive na
Clemence ndadzima mbozhanhare yake ndakasvika
achitonwa drink nemwana wangu vachinwisana haa
kwa Beauty uku haadzokereko baa kuIjipita, kwa
Gulez no tiri ku Lake ndakazoona ndapfugamirwa na
Clemence akabva aisa ruoko muhomwe akaburitsa
kaBox ndokubva ati.

"Will you marry me Dorcas."?


Vanhu vainge vanditarisa zvino,ndokubva ndati.

"mmmmm...."

*To Be Continued on Chapter 19 this is the last free


Chapter.*
: *TO THOSE WHO ARE WILLING TO PAY FOR
GWINIMBI 😡💟💯,HERE ARE THE DETAILS*📕📝

*PAY $4 Rtgs*

*SEND MONEY VIA ECOCASH TO 0775 227 112 (E


M)*

*SA by Airtym in Shoprite worth R 30 Send etym


to .+263 775 227 112*

*PLIZ NOTE: AFTER SENDING YOUR MONEY SEND PROOF OF PAYMENT TO +263 775 227 112*

You might also like