You are on page 1of 147

By Tafadzwa Chaponda +263774377654

2021 Harare
TC Rwaamai [Tafadzwa Chaponda] Harare 2021
Chitsauko Chekutanga
naTafadzwa Chaponda [Mbozhanhare: +263774377654]
Makare-kare, vasina mabvi vasati vauya munyika yavaDuma
makararama mumwe murume ainzi Taiziveyi. Taiziveyi ndiye akanga ari
nevanji waHumadzavarombo, murume akanga aramba kutora mukadzi
wepiri. Vamwe vaimuseka vachiti rwaisava rudo nemudzimai wake
VaShasha, mai Taizivei asi kuti hwaiva hurombo. VaHuma vainge vasina
kana mombe imwe chete inotsika zvayo. Mombe dzavo dzaperera
mukushuzha makore akambonetsa zhara munyika yavaDuma.
Chimwezve chakakonzeresa kuti vanyanye kushaya inyaya yekuti
pakugovana fuma yababa vavo, VaHuma vakangopuwa mombe imwe
chete, hono pamusoro pazvo. Mukoma wavo dangwe aizvarwa kuimba
yemudzimai wekutanga wababa, Honzeri ndiye akatora zvizhinji
kusanganisira matoro ababa vake ayo akamuita hurudza huru munguva
yazhara yakatsviriridza. Honzeri akanga ava nemombe dzaida kusvika
zana nevakadzi vatatu nevana vakati wandeyi. Pamusha pake hapana
chawaishaya, mukaka, mupunga, uchi nezvimwe zvose zvinonaka.
Vaikama mombe dzaidarika gumi. Kumatoro ndiko kwaibva mupunga
kwozoti mimwe minda yairima zviyo nemhunga. Gore ratiri kutaura iri
Honzeri ainge akohwa matengu mazana maviri ezviyo. Kupura zviyo izvi,
pakabikwa doro renhimbe , ndokubaiwa mombe asi Huma haana
kukokwa. Iye haana kuita hanya nazvo nekuti kubva gore ragohwa nhaka
yababa vavo, havana kuzombonzwanana zvakanaka. Huma akaona
mukoma wake achibva mukuva rombe risina kana nenda pamutimwi,
achinoita hurudza yamandiriri ine hupfumi hunotyisa. Kwakakokwa
vanaDamba nevamwe varimi vaiva nemukurmbira mudunhu iri.
Huma zvaanga atoita ndezvekutoti dangwe rake Taiziveyi riteme ugariri
kwaDamba nekuti aiziva kuti nekushaya kwake mombe, haaizokwanisa
kutenga badza raidiwa pakuroora. Taiziveyi ainge atanga kutema ugariri
kwaDamba ane makore angaita gumi namanomwe. Parizvino ainge atova
nemakore makumi maviri namashanu, kureva kuti ainge atova namakore
masere achitema ugariri. Damba ainge ane mwanasikana mumwe chete,
Machiveyi uyo ainge ane makore mapfumbamwe pakatanga Taiziveyi
kutema ugariri. Vamwe vose vakanga vari vakomana kumadzimai ake
ose. Zvino vakabaikana nekuita makwikwi ekuzvara vachitsvagira
murume wavo fuma.
Mutambo wenhimbe wakaitwa pamusha waHonzeri uyo wakanga
wakavakirwa mujinga mechikomo. Nechekuseri ndiko kwaiva neruware
urwo rwainge ruzere netsapi dzaitorwa zviyo zvichipurwa navarume
navakadzi.
“Gwe-e kurunga munyu!
“Taruvamba!”
Vaiimba vachipura rukweza. Damba naHonzeri vainge vagere pabvute
vachitambidzana zvayo mukombe wedoro.
“Ha-a gore rino wakandikunda wena,” akadaro Dambo abva achipukuta
doro rainge razara patwundebvu twake twainge twamangoyi.
“Ha-a zvipikowo shamwari, ndiri kutarisira matengu mazana maviri,”
akapindura Honzeri achitambira mukombe wedoro. Akabva ati n’ata n’ata
chinhu.
“Ha-a ini gore rino zvakaramba. Munda wangu wekugura ravaMukoka
wakanyura.”
“Ko nhai shamwari Damba, ko ndine mukomana wangu uyuka dangwe
rangu Hamadziripi.”
“Waita seyi?”
“Abva zera shamwari nekudaro ndakanzwa kuti kwako kwaita mhandara.”
“Ah ko hauzivi kuti mwana wemunun’una wako Huma ari kutema ugariri
kwangu? Zvino mwanasikana aramba pavakadzi vangu vose vashanu
nekudaro Machiveyi anenge avakutofanirwa kuyenda kwaHuma.”
“Apedza here kutema ugariri hwacho? “
“Haasati, asara namakore maviri.”
“Ah kwese uko, unoti unenge usati wawana mwanasikana pamakore
maviri anouya here shamwari?”
“Asi zvinozoita here nekuti akazvarwa gore rino kana rinouya zvinoreva
kuti mwana wemunun’una wako anenge akutomirira mamwe makore
akawanda.”
“Nhai Damba hama yangu, chinokunetsa chii? Iwe unongomuudza chete
kuti mukadzi wako ndokupa. Inini mombe ndinadzo. Unongotema
dzaunoda hama yangu.”
“Pakaoma. Zvisineyi rega ndimbonofunga hama yangu. Asi mukomana
uyu ava namakore masere achishanda kutema ugariri. Ndiye
wekundivhurira minda yangu iya yekujinga kwejiri uko. Minda iyoyo inopa
zvikuru,” akadaro Damba.
“Hazvina mhaka nekuti uyu wangu mukuru kuna Taiziveyi.”
Taiziveyi ainge asina kuyenda kunhimbe uko airongerwa kutorerwa
musikana wake. Akaswera ari kurwizi achiteverera maduwo ake kuti
zvimwe angawana usavi hwamanheru. Musi iwoyo akabata hove
dzakawanda zvekuti dende raakanga akapakata rakazara kusvika
kumuromo. Akudzokera kumusha akabva anzwa chikwe-e kuseri
kwamakwenzi. Zvairatidza kuti vari vasikana vaiseka nekudaro akati regai
nditsauke kuti aone kuti vainge vari vanaani. Akabva apota seri kwechuru
waneyi ndiMachiveyi navamwe vasikana vatatu avo vainge vakasendeka
masvinga avo vakamirira kuatsiga. Vachimuona vose vakabva varidza
chikwe-e zvakare.
“Ndomurume wakozve uyu,” akadaro mumwe wavasikana vaya
achitsvinya. Vose vakaseka zvakare.
“Haiwa ndibvireipo vasikana,” akadaro Machiveyi. “Ndini ndadiniwo.
Ndinonodyei iko kumusha kwemunhu asi kana inoti mu-u,” akadaro
achidaidzira kuti Taiziveyi azvinzwe.
Taiziveyi haana kuda kuzovakwazisa nekuti akaona kuti ndiye aisekwa.
Akuda kuti ayende akabva aona gwera dembo pamberi pake achibva
afunga hove dzake. Ainge asina chekucheresa nekudaro akabva atora
gano rake ndokutema chimuti chekucheresa.
“Ini hangu handingambobvumi zvekuroorwa nemunhu anotema ugariri
ini,” akadaro mumwe wavasikana vaya.
“Wati neniwo ndinoda here? Inyaya yekuti zvinenge zvataurwa navakuru
ndizvozvo.”
“Uchisiya vana Hamadziripi vane mombe dzisingakwani mudanga rimwe
chete. Wakambosvika pamuzinda waVaHonzeri here nhai Machiveyi?
Mukaka wemombe unenge wakaiswa kumucheto kweruvazhe kuti
angosvika anongomwawo.
Zvose izvi zvaiva muzheve dza Taizeyi. Akaita seyakanga asingazvihwi.
Chaaida pagwera dembo iri mudzi wacho uyo wainge wakaita kunge
mbambaira. Mudzi uyu waishandiswa semushonga wekubata hove uye
pakugeza. Waigona kungoushandisa zvakafanana neruredzo.
“Asi hove munombodyawo.”
Vasikana vakaseka zvakare. Taiziveyi ainge anonokerwa. Paakabata
mudzi wegwera dembo, akabva asimuka ndokutanga kufamba chiyenda
asina kana kucheuka. Aingonzwa vasikana vachiseka.
Hove dzake akayenda nadzo kwamai VaMachiveyi avo vanovazve vaive
vahosi vaDamba. Machiveyi ainge ari mwana wavo wechipiri. Dangwe
akanga ari mukomana. Kumashure kwaMachiveyi kwainge kune vamwe
vakomana vashanu. Parizvino vainge vakazvitakura zvakare nekudaro
nhumbu yavo yaida hove zvisingaiti.
Vakabva vaombera ndokuti, “Aiwa mandigonera Shava, mabva maita
sekunge munoziva kuti nhasi ndanga ndine havi yehove.”
Taiziveyi ainge akatonona ari nechekure nekuti ava vainge vachizova
mbuyawasha vake kana achinge azopodze kutema ugariri aroora
Machiveyi. Mai vaMachiveyi vakatora dende rainge rauya naTaiziveyi
ndokudurura hove dziya murusero kuitira kuti vadzosere dende.
“Mabva mabata dzandinoda chaidzo. Mikonzvi ndinoifarira. Mashuma
zvokwadi,” vakadaro.
Taiziveyi akabva aombera zvakare ndokutora dende rake kwavakuyenda
kuimba yaaivata iyo yainge yakavakwa nepango kumucheto-cheto
kwemusha padyo nekudanga remombe. Airarama upenyu hweuranda
pamusha apa. Zvisineyi aingoda kushingirira kuti apedza apuwe mukadzi
wake otangawo hwake. Akasiya dende rake pagundumbwiri raibata
chiruvi chemba yake ndokuyenda kunokotsva mombe kumakura. Mombe
dzavatezvara dzainge dzakawanda zvekuda kutoyenderera
nedzababamukuru vake Honzeri.
Dzavakupinda mudanga ainge agarira pamukova achikanda zvitombo
kuti aone kuti dzakakwana here. Dzichipera akaona kwasara matombo
mashanu ndokubva aziva kuti painge pane n’ombe shanu dzaiva dzisipo.
Akabva avharira dzaivapo ndokunanga kunotsvaga dzaishota.
Akazodziwana dzichifura nhenje murwizi kwatoti zvarara, zvizizimbori
zvakutangawo kubhururuka.
Mukufamba kwake kwose uku aingofunga kusekwa kwaakanga aitwa
naMachiveyi neshamwari dzake.
“Saka zvinoreva kuti haandidi nhayi. Saka zvinoreva here kuti ndapedza
makore ose kushandira musikana asingandidi?” akapererwa namashoko
pamwe nekurwadziwa mumoyo. Achisvika kumba zuva iroro
akashamisika kuti Machiveyi ndiye akamuvigira sadza. Kaiva kano
kasadza kemhunga nehove.
“Mai vati ndikuvigirei sadza renyu,” akadaro Machiveyi akapfugama
nechekure.
“Maita basa. Ko nhai Machiveyi, chidokohori chimoyo wangu. Ndoda
kungobvunza mubvunzo mumwe zvayo.”
“Bvunzai zvenyu.”
“Inini ndinoda kuti muzondibikira gunere zuva nezuva kusvika
ndachembera. Asi dambudziko randava naro nderekuti munenge
musingazvifariri.”
Machiveyi haana kupindura. Akabva asimuka paakanga akapfugama.
“Ini ndavakuyenda zvangu,” akadaro achibva atendeuka
ndokunyangarikira murima. Taiziveyi akasara angotarisa rima munhu
ayenda kare. Machiveyi achisvika kumba kwamai vake vakabva vati,
“Vadzifarira here hove?”
“Hongu mhai,” akadaro ava kureva nhema. Mai vaizviziva kuti makore
akanga avakuswedera nekudaro vaida kuti mwana achitangawo kuwirana
nemunhu aizomuroora.
“Anoshanda zvikuru Taiziveyi uyezve ihombarume,” vakadaro vachibvisa
minzwa yehove vachiita zvekudongorera sezvo mwoto wakanga wava
kuita uchirota.
“Wadii kunditorera twumwe twutsotso pazhe mwanangu. Mwoto wedu
wakurota uyu.”
Machiveyi ainge achinetseka mufungwa dzake nenyaya iyoyi yaTaiziveyi.
Ainetseka zvikuru nekuti akanga ambosangana naHamadziripi mwana
waHonzeri rimwe zuva achibva kunotsvaga shumha neshamwari dzake.
Hama ainge akanda shoko nekudaro iye akanga aona sekuti kuroorwa
naHama zvaiva nane pane kuroorwa naTaiziveyi. Izvi haana waakaudza.
Chitsauko Chepiri
naTafadzwa Chaponda [Nharembozha +263774377654]
“Eh Hamadziripi mwanangu, unoziva iwe kuti ndiwe dangwe rangu uye
wabva zano. Zvakadaro wava kufanirwa kuti uchiwana mukadzi utange
mhuri,” akadaro Honzeri achitaura navanakomana vake vagere padare.
“Hongu baba, ndiyo fungwa yandanga ndinayo mazuva apfuura iwaya.
Ndanga ndaona mwana wavaDamba, Machiveyi,” akapindura Hama.
Baba vake vaita kakuvhunduka vachicheuka ndokumutarisa.
“Ah wakamuudza here kuti unoda kumuroora?”
“Hongu baba.”
“Akati chii?”
“Haasati andipa mhinduro, asi ndiri kunonetseka zvikuru nekuti ndakahwa
kuti ndiye ari kutemerwa ugariri nomunun’una wangu Taizivey.”
“Izvo hazvina basa Mhofu. Imi kana musikana ati anoda kuroorwa nemi
isu tinozoona kuti tsoro dzacho todzitamba sei. Unoona mwanangu, ini
ndakafuma saka zvakanaka kuti uroorewo kunogutwa nekuti ukaroora
kuzhara, vose vanenge voda kuuya kuzoponera pano.”
“Asi hazvinonetsi here nhai baba?”
“Nhai mwanangu, iwe Machiveyi unomuda here?”
“Hongu baba, nemoyo wose.”
“Saka atova mukadzi wako,” vakadaro baba vake. “Iwe Watipedza,
mhanya unonzwa kuti vana mai vako havasati vapedza kubika here ndafa
nezhara ini.” Watipedza munun’una waHamadziripi akabva asimuka
ndokumhanya oyenda kwaakanga atumwa.
Taiziveyi akamukira kunorwizi kumaduwo ake. Akatora imbwa dzake
nhatu Sekuseka, Wamambo naChokureva. Akabereka mukutu wake
nemiseve ndokuyenda. Achipedza kubvisa hove dzake mumaduwo ake
akabva anoviga dende rake mubako ndokupinda musango kuti anotsvaga
kausavi katezvara vake avo vaifarira nyama yemhembwe. Asati
amboyenda kure, akanzwa Chokureva yoita kakuhukura ichitsvikidza
muswe. Akaziva kuti pane chayanga yaona. Akavhomora musuve
ndokubva aubairira pauta hwake ndokugadzirira. Pasina nguva yakabva
yavhurumuka nhoro hadzi. Ipapo Sekuseka ndipo paaidanwa ichinzwa.
Mukomana akatanga kukuza achiridza muridzo uku achitevera.
“Sekuseka, Sekuseka usamusiya! Famba Wamambo!,” imbwa
dzakatanga kuchemerera. Zvakamhanyisana zvakananga kurwizi. Nhoro
akasviko svetukira mumvura imbwa ndokutevera. Taiziveyi akabva
asvikawo ndokuwana nhoro ichishambira yava pakati pedziva. Akabva
airegedzera museve uyo wakanonyura nechepahuro kumashure
kwezheve. Akaipamha wepiri ichibva yabudawo. Yakada kuti imhanye
ichibva yatanga kudzadzarika ndokubva yati pu-u kwakadaro uko. Imbwa
zvakabva zvasvikawo ndokubva zvatanga kuiita kanyama-kanyama.
Taiziveyi akasvetukira mudziva oshambira kubira mhiri. Akasvikopedzisa
nhoro iya negano rake. Apedza akabva abata muchiuno oshaya zvekuita
nekuti nyama iyi yainge yakawanda. Akabata muchiuno kudaro akabva
anzwa kuti kwatara-kwatara kuseri kwechuru chaivepo. Iye akafunga kuti
pamwe chikara nekudaro akabata gano zvakasimba. Akazoona ari
munhu achibva atsveta gano pasi ndokuti, “Ah mukoma Hama
mandivhundusa zvisingaiti.”
“Ko ndiwe. Ini ndaona nhoro ichitatarika ndikati regai ndimhanyire
kuusavi.”
“Ndabva nayo kugomo uko saka ndozoifura nemuseve ichishambira
murwizi umo,” akadaro Taiziveyi.
“Ho-o, saka tadii kutoivhiya hedu,” akadaro Hama sekuti ndiye ainge
aidzimba.
“Eh zvatonaka zvamasvika kudai,” ini handina banga pano saka ndanga
ndati ndimhanye kumba kunotsvaga mapanga. Ndabuda ndichiyenda
kuhove saka handina kutakura banga.
“Uri murume rudzii anofamba asina banga,” akadaro Hama.
“Ndomhanya mukoma,” akadaro Taiziveyi ava kutomhanya.
Hama akasara oburitsa banga rainge rakavigwa nechemukati
meshashiko yake ndokutanga kuvhiya. Ari kuvhiya kudaro Machiveyi uyo
aitsvaga huni neshamwari dzake vakabva vasvikawo.
“Hama ndiwe wadzimba nhoro yose iyi?” akadaro Machiveyi.
“Eh, ko wakadii hako Machiveyi, chipondamoyo change,” akadaro Hama
achipukuta ropa raiva mumaoka make kuti akwazise vasikana ava.
“Saka uri hombarume nhai.”
“Haikona zvekutamba. Chero shumba ndinobata nemaoko.”
Vari kutaura kudaro Taiziveyi akabva asvika achifemuruka akabata
banga.
“Ko matotanga kuvhiya. Banga mariwanepi?”
Hama haana kudavira. Akangokwenya chirebvu ndokubva ati, “saka wati
unoda yakawanda sei nhai mudiwa wangu Machiveyi?”
“Aiwazve mukoma. Nhoro iyi ndini ndaibata saka mavakugova vanhu
seyenyu sei?”
Hama akamutarisa ndokuti, “Nhai Taiziveyi unopenga? Nhai vasikana
ndiani wamawana achivhiya nyama iyi pano?”
“Ndiwe Hama,” akadavira Machiveyi.
“Wazvionaka. Chibva pano,” akadaro Hama.
“Aiwa hatidaro. Muri mukoma wangu ndinokuremekedzai zvikuru asi apa
handibvumi kuti mutore chinhu chandshandira ndega. Machiveyi torai,
ndozviziva kuti ndiye wamunoda asi nyama yangu kwete.”
“Saka unondiiteyi? Ibva pano, rombe remunhu. Saka hausvodi kuita
mukadzi wekuruvira. Zvino ini, ndinoyendesa dzinotsika kwana Machiveyi
uyu,” akadaro Hama. Taiziveyi akabva afamba ouya pamutumbi
wemhuka yake yaakanga abata. Hama nekuonererehwa navasikana
akabva amudzivirira. Taiziveyi akayenda nerimwe divi, achibva avharirwa
negokora.
“Mukoma ndokumbirawo kuti murege zvamuri kuita,” akadaro Taiziveyi
agumbuka.
“Ndati unondiiteyi, kandonda kakaita sewe? Unombodyawo sadza
iyewe?” achipedza muromo iwowo akabva amharwa nechibhakera
pamuromo. Akanzwa ropa richiti dzatu, zino repamber rezasi richibva
radonha pasi. Akabata muromo ndokuti, “Ah wandibvisa zino.”
“Ndakuudzai mukoma, musandidenha,” akadaro Taiziveyi achipfuurira
kuyenda kunhoro yake. Hama akaramba akakotama achisvipa ropa.
Machiveyi moyo wakarwadza achibva aswedera padyo. “Ndine urombo
Hama, siyana naye munun’una wako ibhinya iri. Chokwadi vabereki
vangu vanoda kuti ndiroorwe nemunhu akadayi,” akadaro. Taiziveyi
haana kucheuka. Akaramba achivhiya nhoro yake.
Hama akasvika kumba achingosvipa ropa.
“Ko chii chaitika?” ndiMai vake VaMuchandida
“NdiTaiziveyi. Ndafura nhoro yangu pedo nekurwizi akauya obvuta nekuti
anga achida kuzviita gamba pamberi pevasikana.
“Anoshura mare mwana waHumadzavarombo chokwadi. Akubvisa zino?”
Hama akangogudzurira musoro achigara padombo raivepo.
“Bva-a vachandiona.”

Chatsauko Chetatu
naTafadzwa Chaponda [Nharembosha +263774377654]
Taiziveyi chainge chiri chimurume chitete, chirefu chakaondoroka kunge
ndonda. Chaiti kana chofamba chinoita kunge chichapepereswa
nemhepo. Kuondoroka ikoko kwainyanyomutsira kana pava pakuvhima,
pakumhanya akanga asinete. Chaizoshamisa vanhu isimba raakanga
anaro. Aiti kana atanga kushanda vanhu vose vaisvika pakunyara iye
achingoshanda chete. Chiso chake chaisaratidza zera rake chairo nekuti
ainge ari gore mucheche.
Kukura kwenhoro hakuna kumutadzisa kuivhiya. Akanga arega kutsvaga
vanhu nekuti aivimba kuti mukoma wake Hamadziripi aizomubatsira.
Nezvakanga zvaitika akabva atoona kuti kuzvimiririra oga ndizvo
zvaitofamba. Akatema mashazhu ndokuzvuva nhoro iyo oiisapo.
Makumbo haana kumbonetsa nekuti aiita wekusungirira pamiti namakavi,
obva avhiya. Avakuda kupedza akabva anzwa zhowe-zhowe ravanhu
vaibva nechekuchamhembe. Vairatidza kuti vanhu vakawanda chaizvo.
“Aiwa haafanirwi kujaidzwa zvakadaro,” akadaro mumwe wavarume vaiita
ruzha vachiuya kuna Taiziveyi. Pakasimudza musoro, waneyi hakuna
chakanaka. Vaiita kunge vaiyenda kuhondo. Akabva amira akabata
muchiuno. Varume vaya avo vaitodarika gumi vakabva vasvikawo.
Vakamira nechekoko mukuru wavo ndokuti, “Ini ndinonzi Manomano,
uyezve ndiri jinda ramambo, Vashe, Changamire Muturiki.”
Taiziveyi akabva aombera maoko ndokuti, “Makadiiko madzishe, ini ndini
Taiziveyi, mwana waHumadzavarombo, uya mukomana anotema ugariri
kwavatezvara vangu Damba,” akadaro.
“Chinzwaka mwanakomana. Isu tatambira shoko rekuti wabvutira
mukoma wako mhuka yaabata nechesimba uyezve zvinonzi wamurova
akabva zino,” akadaro Manomano.
“Changamire wangu, kana muchindipa mukana wekutaura. Mukoma
wangu Hama haasi kutaura idi. Zvaitika chaizvo ndezvekuti ini ndanga
ndichivhima pandamutsa nhoro iyi mhiri kwerwizi kugomo uko. Ndaizofura
nemuseve wangu, kana mukatarisa nechepahuro apo unotoonekwa,”
akadaro achitendeka.
“Isu hatina kuuya kuzonzwa nhoroondo dzako. Uri kudiwa kudare
kwavashe. Mhaka yako, kuba. Kubira mukoma wako nekumurova,”
akadaro Manomano. “Machinda, takurai nyama iyi moyenda nayo
kwaHonzeri kunoisiya kumuridzi wayo. Iwe nditevere,” akadaro
Manomano.
“Asi…” akada kumbochema-chemawo Taiziveyi.
“Hausi kuda kuteerera zvandiri kutaura inini? Ini ndinomirira Mambo
Muturiki, kana uchiramba zvandinokuudza kuti uite, uri kuramba
zvataurwa naMambo,” akadaro Manomano.
Taiziveyi akabva atoona kuti nyaya iyi yatokwira mutarara nekudaro
akabva arongedza miseve yake pamwe chete negano rake
ndokuzvipakata kwava kudungamidzana naManomano vakananga
kwaShe. Muzinda waMambo Muturiki wainge wakavakirwa mugomo umo
mavaiona munhu wese anenge achipinda munyika yavo pasi. Havasi
vose havo vainokwa nekuda kwekuti nyika yavo yakanga yakati kurei.
Dare ravo rainge rakavakirwa pajinga pezidombo iro raivhara mhepo kana
mambo achitonga matare ake. Zvakamushamisa kuwana Machiveyi
neshamwari dzake varimo mumuzinda waShe. Hama aivapowo
akangobata muromo wake uyo wakanga uchiri kurwadza. Aingoti akati
gare-gare opfira mate ofutsira.
“Iwewe gara pano, mambo ari kuuya izvezvi kuzotanga dare irori.
Mudunhu muno hatimbodi nhubu dzakaita sewe. Munhu ane undyire
anoda kurarama nebamba, izvozvo taramba,” akadaro Manomano.
Akasara akagara pazvitombo zvaiva nechekunze kwemuzinda. Sezvo
makanga muzere vanhu vakawanda, varanda, machinda, nevakadzi
nevana vamambo, Taiziveyi akangora paya asina aimutaudza.
Akazotovhundutswa nezwi rechisikana dete-det rakataura nechekugotsi
kwake.
“Vanhu vose vanogara mumuzinda uno ndinovaziva, iwe ndiwe aniko?
Asi wapara mhaka kani nekuti pano ndipo panowanzogara vapara mhaka
vakamirira kutongwa namambo,” akadaro mwanasikana uye.
“Kwaziwai, makadii zvenyu? Ini ndinonzi Taiziveyi, mwana
waHumadzavarombo anogara mujinga maChomuviri.”
“Ho-o hausiwe here mwanakomana waVaHuma anonzi akatanga kutema
ugariri kwaDamba makore apfuura?”
“Ndini chaiye. Imi munoitwawo ani,” akadaro Taiziveyi kunyange zvazvo
aiona kuti musikana uyu aiva muduku kwazvo kwaari.
“Ini ndini Vamoyo vadunhu rino,” akadaro mwanasikana uya.
Pakarepo Taiziveyi akabva asimuka paakanga agere ndokuchonjomara
achiombera. “Ndinozvininipisa zvikuru pamberi peuso hwenyu, ndiri
muranda.”
Mwanasikana uya akabva apwatika zvake nekuseka. “Nhai Taiziveyi, ini
handisini mambo, mambo ndibaba vangu. Inini ndinonzi Varaidzo.”
Taiziveyi haana kumbozviteerera. Akaramba akazvininipisa pamberi
pedangwe raMambo Muturiki uyo aingova navanasikana voga-voga.
Parizvino vakanga vava gumi navashanu ari makwikwi ekutsvaga
atozotora ushe kana ivo vachinge vayenda.
“Saka nhai Tai, wapara yei zvaunenge mukomana akasvika uye
asingaratidzi kuva nhubu kana mbavha?”
“Ndimukoma wangu, mwana wemukoma wababa vangu, awana
ndadzimba hangu nhoro yangu. Pandamusiya akairinda ndawana
avakutoivhiya ototi ndeyake. Anga ava kutogova nyama kunana
Machiveyi neshamwari dzake. Pandada kuti usadaro abva atanga kumera
zenze, kudawo nekuona vasikana. Paazondisunda negokora, ndatsamwa
ndikamurova chibhakera akadonha zino. Abva ayenda ini ndokusara
hangu ndichivhiya nyama yangu. Ndatozongoonawo machinda aShe
ouya kuzonditora. Nyama yabva yatorwa yose ndokuyendeswa
kwababamukuru vangu kwaHonzeri kumusha kwaHama.”
“A-ah, zvakaoma saka iwewe ndiwe uri kunzi waba?”
“Ndizvozvo chaizvo.”
“Inga ane moyo wakashata chaizvo mukoma wako. Chazvanakira
ndechekuti mambo vanogona havo kutonga saka ndinoona uchipona
pamhaka iyoyi. Inini hangu ndavakuyenda, ndinovimba zvikufambira
zvakanaka,” akadaro Varaidzo ava kuyenda. Mwanasikana uyu akanga
ane makore gumu namashanu. Chiri chino chigagairwa, chitsvuku chine
chiso chakada kuti rebeyi nemeso ekuti aiti akakutarisa unobva wasvoda.
Ari ari murefu zviri pakati nepakati. Taiziveyi akamutarisa achiyenda
ndokudzungudza musoro. “Dai ndanga ndiri mufumi handiti
ndowandairoora zvangu? Haadadi apa mwana wamambo.

Chitsauko Chechina
naTafadzwa Chaponda [Mbozhanhare +263774377654]
Mambo Muturiki vainge vava murume angada kuita makore makumi mana
nemanomwe. Vakanga vagadzwa ushe vari mwana muduku chaizvo
mushure mekunge baba vavo vafa zvichifungidzirwa izvo kuti vakadyiswa
nemukadzi wavo mukuru. Semunhu akakurira pachigaro choushe vainge
vava mutongi gava chaiye kana vava pamatare avo. Vaiwanzoti kana
mhosva ichiuya vanoda kutanga vanatsa kunzwa zvaitika kubva kujinda
ravo rinenge rasunga munhu uyezve kuti uyo ari kupomera mhosva anoti
chii. Izvozvo zvaitirwa mune imwe imba yavo iyo yaisapindwa nemunhu
wese wese kusiya kwavo machinda avo, makurukota nehamburamatenga
yedunhu iri VaNdachinonga.
“Saka nhai Manomano, inhamboyi yaudzwa nyaya iyi?”
“Hapana nguva yakareba changamire. Pandangozvihwa ndabva
ndatotora mamwe machinda ndokuyenda kurwizi kwanga kuchivhiirwa
mhuka iyi tichimhanya.”
“Saka iye uyu ari kuti abirwa, anoti chii chaitika? Havasi mukoma
nemun’una here vanhu ava?”
“Mukoma nemunun’una changamire wangu. Isu atiudza kuti Taizveyi
auya ndokumurova kwakutoti mhuka ndeyake.”
“Heya, saka mhuka iripi?”
“Ndanga ndati nyama yacho iyende kwaHonzeri nekuti ndomuridzi wayo.”
“Nhai Manomano, ko zvausina mano nhai? Mhuka iyoyo yanga
ichifanirwa kuuya kudare nekuti ndihwo umbowo hwacho. Inini handisi
kuzotanga kutonga nyaya iyi mhuka iyi isipo,” vakadaro vaShe ndokutora
chigweba chavo chefodya ndiye gu-gu-gu muchanza, fe-e, fe-e,
ndokufura madzibwa matema kwavakupukutira zvigunwe pamutanda
waiva muchoto. “Uyezve paradzanisai vasikana avo vari kuti vaona
zvichiitika. Vaparadzanisei.”
“Zvakanakati changamire, ndotomhanyako izvezvi,” akadaro Manomano
ndokuombera chibuda. Akabva asheedza mamwe machinda ake
vachibva vananga kwaHonzeri. Vakasvikowana vanakomana vaHonzeri
vatova mubishi rekuvedzenga midzonga vachisasika imwe ichigochwa.
“Torai matengu mutore nyama yose, nemahwanda nedehwe mutakure
tiyende nazvo. Zviri kudiwa kwavaShe izvezvi.”
“Ko nhai mwanangu, inga wamboti nyama ndeyepano wani?”
“Ishe vati vari kuida, saka chiisai mumatengu tiyende nayo.”
Vanhu vakaita zvainge zvataurwa asi Honzeri akasara achitofunga kuti
ndiwo mukana wavakanga vapuwa namatenga kuti kupedzerana
naTaiziveyi. Nekudaro, machinda achibuda iye akabva ateverawo
ndokunanga kwaDamba. Murume mukuru akasvika achifemereka.
“Ko ugere pano shamwari hauna kuhwa kuti kwaita dare kwaShe. Hanzi
Taiziveyi arova mwana wangu Hama ndokumutorera nhoro yaanga abata
nechisimba. Mwana wako iwe navamwe vasikana vaviri ndivo vaona
zvichiita nameso avo. Vari kwaMambo izvezvi, Taiziveyi ari kutongwa.”
“Ah hapana chindinoziva. Ko tadii tayendako?”
Varume vaviri vakabva vatungamidzana vanonanga kumuzinda
waMambo. Vari muzhira, Honzeri akabva ati, “Nhai Damba hama yangu,
hauoni kuti uyu ndomukana watapuwa nemidzimu kuti tipedze
naTaiziveyi?”
“Uchiti iwe chero akabatwa nemhosva angadzingwa mudunhu muno
here?”
“Aiwazve, mwanasikana wako ngaangoti atomboyedza kundibata.”
“He-e!” akavhunduka Damba.
“Iyo akabatwa nemhosva anotodzingwa mudunhu chete. Panoda
kushinga apa tibve tangopedza nyaya yacho. Nekuti kana Machiveyi
azoroorwa naHama, unozowanepi mumwe mukadzi wekupa kuTaiziveyi
akatema ugariri makore ose aya?”
“Asi ipapo une dama. Zvino hatiwani dare racho ratanga here?”
“Ngatifambise.”
Mikweshwa miviri yakatanga kunzunzutira zvekuti pavakasvika
kwaMambo vainge vakufemuruka sevanhu vakanga vachidzingirirwa.
Vakona vanhu vaungana vakaziva kuti vainge vatononoka.
Vakangosvikoombera maoko ndokusenerera vogara kwaiva navamwe
varume padare.
“Saka iwewe mhuka aiita zvokudii?” vaShe vakabvunza Hama uyo
akanga achangobata muromo nekuda kwezino rakanga radonha.
Mumuromo akanga akafunda mushonga waakanga apuwa
naVaNdachinhonga. Aitaura zvishoma nezvishoma.
“Ini nhoro ndaiona yakavata muchuru ndichibva ndainyangira ndokuipfura
nechekugotsi. Payadonha ndipo pandaona vasikana avo vachinhonga
huni musango. Ipapo Taiziveyi anga asati asvika.”
“Munun’una wako unoti aipfurira mumvura wani?”
“Ipapo haasi kureva chokwada changamire.”
“Zvakanaka. Ndava kuda kunzwa kuti vasikana vauri kutaura vanoti chii.”
Machiveyi ndiye akatanga kushevedzwa.
“Changamire, isu nana Chipo naKurai tanga tichinonga huni dzedu
patanzwa kuti kunenge kune mhuka yabaiwa nemuvhimi.”
“Yaita sei payabaiwa?”
“Yabowa, changamire. Saka tabva tamhanyirako ndobva taona Hama uyu
akabata gano rake achangopedza kuiuraya.”
“Wamuona nameso ako achiiuraya here?”
“Hongu changamire.”
“Zvakanaka mwanangu. Ndidaidzireiwo mumwe wacho.”
Chipo akabva auya ndokugwadama pamberi pedare.
“Mhuka imimi mainzwa sei?”
“Ah inini ndangoona kuti pane munhu akamira. Saka patasvika padyo
tabva taona kuti ndiHama anga akabata pfumo rake abva muibaya
nechepagotsi apa.”
“Izvi wazviona nameso ako?”
“Hongu changamire,” vanhu vakabva vatarisa pasi, Chipo achisimuka
oyenda.
“Ndodzoka kwauri Taiziveyi, wati iwe mhuka yanga ichishambira,
ndizvozvo here?”
“Hongu changamire wangu. Ndaifura nemiseve mivir ichiri mumvura.”
“Machinda huyai nedehwe remhuka muwaridze apa tione,” vakadaro Ishe
Muturiki. Dehwe rakatorwa ndokutambanudzwa pamberi pedare. Ishe
vakasimuka ndokuswedzera padyo. Vakabva vachonjomara ndokuti,
“Munoona kana mvere dzemhuka dzakabata-bata kudai, zvinoreva kuti
payafa inogona kunge yanga yambopinda mumvura kana kuti dehwe
rasukwa mumvura.”
“Eh rasukwa mumvura changamire,” akadaro Hama.
“Ko zvawamboti payendeswa nyama kumba nedehwe wanga usiko wani?
Wazozviona sei kuti dehwe rasukwa mumvura?”
Hama akabva angoti bwai-bwai. “Mukanzwa zvanga zvichitaurwa
navasikana avo zvose hazvisi kupindirana uye iwe nyaya yako haisi
kupindirana zvachose. Nekudaro ndinoti Taiziveyi haana mhosva.
Zvakadaro Taiziveyi anozikanwa zvikuru mudunhu rino ari hombarume.
Iwe handisati ndambohwa kuti wabata chero kashuro zvako. Nekudaro
ndinoti ndichateerera zvataurwa naTaiziveyi. Haana mhosva.
Mudzosereyi nyama yake,” vakadaro vaShe.
Taiziveyi akabva ati, “Pamusoroi changamire nemakurukota. Nyama
sezvo iri pano zvayo. Ngaigochwe nekubikwa vanhu vadye nokufara.”
Madzimai akabva apururudza. Vana Hama nana Machiveyi nevabereki
vavo havana kana kuzombooneka. Vakabva pamuzinda washe vakapera
miswe nenyadzi.
Chitsauko Cheshanu
naTafadzwa Chaponda [Mhozhanhare +263774377654]
Taiziveyi akasara pamuzinda waShe akubatsirana nemachinda kugadzira
nyama yenhoro. Mambo vakabva vatodaidzira kuti kuburitswe hari yedoro
kuti vanhu vadye nekumwa vachifara. Taiziveyi akanga asingamwi
nekudaro ndiye akanga akuita basa rekugocha nyama pamavivi emwoto
ainge aveswa padyo nekudare ravarume. Aiti yaibva yobva
yatoyendeswa. Mambo vakapuwa chiropa neimwe nyama yakanga
isinganetsi kutsenga. Vamwe vakomana vaigocha nyama vainge
varimubishi kutsenga nyama iyo yavaiseva munduru nekudaro hapana
akaona Taiziveyi achikadimbura kanhindi pachiropa. Akaviga kanhindi
kaye mumashizha achibva awana kamwe kasikana kaakatuma kuna
Varaidzo.
“Izvi zvinhu zvaVamoyo saka usavhura uye usadonhedza. Chiyenda
unovapa uti zvanzi nemukomana anga achitongwa padari ranhasi,
chimbonyautsayi mumukanwa.”
Kamwana kaya kakabva kabata kunge kainge kakabata mazai
ndokuyenda kwaiva navasikana ndokusvikonanga pana Varaidzo.
“Zvanzi nemukomana anga achitongwa padare ranhasi chimbonyautsai
mumukanwa,” kakadaro kamwana kakagwadama kachitambidza
Varaidzo zvinhu zvaakanga apuwa naTaiziveyi.
Varaidzo akaita zvekubvuta nekuti ainge anonokerwa kuti aone kuti
chaive chii. Achivhura mashizha aye akabva anyemwerera. Vamwe
vasikana vakabva vasiya zvavaiita ndokuuya vodongorera.
“Ha-a, wapuwa nyama yechiropa,” akadaro mumwe musikana achitaurira
pamusoro. Akabva avharwa muromo naVaraidzo.
“Usataurisa. Unoda tihwikwe navanhu. Huyai tidye nyama takanyarara,”
akadaro Varaidzo akutobvambura nyama yechiropa yainge yakapfava
zvekudyiwa nemwana asina meno.
“Unoziveyi hako Varaidzo? Mukomana iyeyu haasi kudiwa nemusikana
waakatemera ugariri kwemakore masere,” akadaro musikana uya
wekumbobatwa muromo naVaraidzo.
“Zvinorwadza ufunge. Asi upenyu ndozvahuri kana uri murombo. Vakuru
vakati murombo haarovi chine nguvo,” akadaro Varaidzo achinhanzva
minwe.
“Dai akauya zvake kumba kwedu, anoshanda mukomana uya uyezve
ihombarume yamandiriri,” akadaro musikana uya.
“Ndichamuudza akuite musengabere,” akadaro Varaidzo vose vachibva
vaseka.
“Ndingatoda zvangu.”
Vasikana vakafara zvikuru musi uyu nekuti nguva zhinji nyama yechiropa
yaingoperera kuvarume.
Taiziveyi akazobva pamuzinda wamambo zuva ratopinda muna mai varo
uku dumbu rakaita dumbuzenene nekuguta. Akabva ananga kwaaigara,
kwaDamba uko aitema ugariri. Akangosvikonanga muimba yake
yekurara. Achipinda pamukova akabva apingwa nendiro dzesadza
dzainge dzakagadzikwapo. Semunhu akanga akaguta akabva abuda
ndokunotora mazimbe kudare kuti awane kubatidza mwoto mumba make
kuti awane kuona. Avesa mwoto uya akabva avhura ndiro dziya waneyi
mune sadza romupunga nenyama yehuku. Sadza remupunga airifarira
asi nekuguta kwaakanga akaita haana kuzoridya. Ipapo akafunga
kumbofadza imbwa dzake achibva atora sadza riya ndokurikanya
nemvura ndokunokutura zvose paguyo. Imbwa dzakabva dzati nhasi
vatenzi matibvira nepi ndokuita machikichori dzichihon’erana dziri
paguyopo. Yaikara ndiSekuseka. Dzimwe dzaitozodya yaguta.
Taiziveyi akabva atora gudza rake ndiye gude-gude otsvaga hope
achifunga nhamo yake yekurambwa nemusikana waakanga ashandira
makore akawanda zvikuru. “Vanotonditsvagira mumwe mukadzi hakuna
izvozvo, Makore andashanda akawanda aya.”
Achifunga kudaro chikomana chekuriga she padare chakabva
chamusvikira. Akarara hope dzorufu ndokutozopepuka kwatochena.
Achiri kuzamura akabva arangarira hope dzaakanga arota usiku
ihwohwo. Akarota babamukuru vake Honzeri navatezvara
vachimumhanyisa nemapfumo akatsvuka mwoto. Akamhanya zvisina
mukare akamboona zvekuti vakataranza vakasara vachishevedzera.
“Tinokubata chete. Uyezve unotofanirwa kufa nekuti ungazotinetsa
uchida mukadzi watisingakwanisi kukupa.” Achimhanya kudaro akabva
aona bako rekuvanda. Iye aifunga havamuone asi akati duku mubako
muya akabva aona Honzeri ava pamberi.
“Wanga uchiti wakangwara nhai. Ndiwe tsuro magen’aka? Zvino
takubata, nhasi uri kuyenda kunyikadzimu chete,” akadaro achisimudza
pfumo rake. Pfumo riya rakabva ramugara nechepadumbu mukomana
achibva abowa kunge mombe yabaiwa. Damba akabva auya nerakewo
achibva ati, “Siya ndimupedzise,” akadaro achisimudzawo rake pfumo.
Ipapo haana kuzoona kuti zvakapera nekufa kwake here kana kwete.
Akabva aona vari vasekuru vake, baba vababa vanovawo baba
vaHonzeri. “Muzukuru wangu, babamukuru vako vane undyire uyezve
vari kuda kukutorera mukadzi wako wawakashandira makore ose aya.
Varikuda kukuuraya watogona ukasadya mupunga dai watova kuno
izvozvi. Dai wakangwara watiza wayenda kumadzisekuru ako nekuti
vanokuuraya chete.” Ndipo paakayeuka. Akabva apukuta meso ake
ndokubva abuda mumba make. Akabva aona imbwa dzake dzakaita
murakatira pamberi pemba. Akabva kunobata Sekuseka waneyi chando
zvacho. Akayenda pana WaMambo waneyi ngoma ndiyo ndiyo.
Akarohwa nehana ndokubva abata muchiuno. Pakarepo akabva afunga
hope dzaakanga arota. “Wanatsa ukasadya mupunga, dai watova kuno.”
Hana yake yakarova zvikuru. Akabva azvuva imbwa dzake nhatu
ndokudziisa kunze kwechivazhe. Akaonekwa namai vaMachiveyi. “Ko
dzaita sei imbwa nhai mukwasha?”
Akabva angochonjomara pakarepo ndokuombera maoko. “Mamuka seiko
amai?”
Iva vakabva vapfugamawo vari kwavakanga vari nechekure ndokudzora
kwaziso. “Ndamuka mwanangu. Ko imbwa dzaita sei Mhofu?”
“Dzangomuka dzakafa amai. Ndinoona sekuti dzadya mushonga
unouraya.”
“Yowe. Kuti dzingava dzapuwa nani mushonga iwoyo. Inga vanhu vane
moyo wakashata veduwe. Haisi shaisano here? Havasivo vanhu
vekukuyendesa kudare nezuro?”
“Ndogoziveyi mhai? Zvakaoma hazvo. Ndakutodzicherera kusango uko,”
akadaro Taiziveyi. Akabva ayenda kunotora gano rake ndokubva ayenda
kusango kunosvuura makavi ndokuuya asunga imbwa dziya
ndokudzizvuva akutsvaga pokudzicherera. Achipedza kuita izvi haana
kudzoka kumba asi akananga kumusha kwake.
“Baba ndinoona sekuti patoshata nekuti ndatoona vasekuru VaMbudu
vachitaura kuhope kuti ndiyende kumadzisekuru angu ndisati ndaurawa,”
akadaro Taiziveyi.
“Uchiti vangakuuraya here nhai mwanangu?”
“Baba, VaDamba nemwanasikana umwe chete nekudaro zvakuvarwadza
kuti vandipe inini nekuti ndakatoshanda kare. Uyu Hama ane mombe
dzababa vake uyezve vanowirirana zvikuru saka ndiye wavava kuda.
Chashatazve ndechekuti iye Machiveyi anenge akatopfimbwa naHama
akabvuma nekudaro ini hapachina changu.”
“Kana zvadaro vanofanira kukutsvagira mumwe mukadzi, nekuti
wakatoshanda kare saka vanofanirwa kukupa mukadzi wako,” vakadaro
baba.
“Baba, hamusi kuona. Iyi yatova hondo iyi,” akadaro Taiziveyi hana ichiri
kungorova.
“Koi we wakamboedzawo here kumutsvetera nerweseri Machiveyi
wacho? Hongu uri kutema ugariri asika zvakanakawo kuwana mukadzi
anokudawo.”
“Akabva angosimuka asina kundipindura. Nyaya yaiva kwavaShe nezuro
handiti ainge ari kurutivi rwaHama vachipa umbowo hwenhema vose.”
“Saka poda kungwara. Kumadzisekuru kunoda utange watumira shoko.
Izvezvi chimbomira uone kuti vanodii. Handioni sekuti vanokuuraya.
Havangaite zvinhu zvakapata uye zviri pachena kudaro.”
“Saka imbwa dzangu dzafa neyi nhai baba?”
“Izvezvi chirega kudya chikafu chavo nekuti haungatizi mukadzi wako iwe
wakashanda makore akawanda kudaro. Pamwe iye Machiveyi anoda kuti
aone kuti unomuda zvakaita sei,” vakadaro baba.
Moyo waTaiziveyi wakanga usingapindirani nezvanga zvataurwa nababa
vake asi semwana akasarudza kuteerera baba vake. Zuva ronovira
akabva adzokera kuugariri hwake achipfuura achikotsva mombe
dzavatezvara vake kuti adzitenhere mudanga madzo. Zuva iroro haana
kudya sadza, akavata nayo. Akabatirwa nehope akanzwa vanhu
vachiridza mupururu. Mai vaMachiveyi vainge vabatsirwa mwana
mukomana. Pavanhu vose vaifara Damba haana kumbofara nekuti
aitarisira musikana uyo waida kuzopa kuna Taizivivei.
Taiziveyi akazogara achiita kunge tsuro mazuva mashanu akatevera
nekuti aitya kuurawa. Ainge akurarama nehove dzekugocha musango
nemichero. Zuva reshanu ndipo pakauya Honzeri nevanhu vake vakuita
zvemarooro aMachiveyi. Taiziveyi azviziva kuti ndiyo nyaya yaivepo
akabva atongobuda ndokuswera musango zuva iroro. Akazodzoka
manheru ndokungonzwa namakuhwa kuti Machiveyi ainge atoyenda
kumadzitete ake ayo aifanirwa kunomupereka kumurume wake
Hamadziripi. Aifunga kuti zvimwe vatezvara vake vachamudaidza kudare
vachimutsanangurira kuti wake mukadzi vaizomuwanepi. Hazvina kuitika
saizvozvo asi kuti usiku akapotsa afa nekuti muimba makauya varume
vatatu vaasina kuziva kuti vaiva vaanani vakayedza kumuuraya.
Akatopona nekuti mumwe wavarume akapingwa nedanda akadonha
pavainyahwaira vachiuya paimba yake. Akapepuka ndokubva
atsvanzvadzira pfumo rake iro raivata nechemutsago wake. Akabuda
mumagudza ake ndokusiya arigadzira kuti paite kunge pane munhu.
Varume vaivhenekerwa nemwedzi nekudaro pavakavhura musiwo
vakabva vaona panzvimbo pakanga parere Taiziveyi. Rume raive mberi
rakabva ranyahwaira samangoyi ari kunyangira gozho ndokusimudza
mudenga ndokubaya pasi waneyi anogova magudza hapana munhu.
Taiziveyi ainge akavanda seri kwegonhi. Akamboda kuti aribaye asi
akaona kuti aigona kubaiwa navaiva kumashure.
“Hapana munhu,” rakazevezera rume riya. Vamwe vacho vakabva
varohwa nehana. Mumwe wacho akabva ati, “pamwe akativandira,
ngatitize.”
Marume aya akabva abuda mumba muya achimhanya. Taiziveyi akasara
ari kwegonhi kuya achibvunda serutsanga ruri mumvura. Akabata chifuva
chake ndokutura mafemo. “Ndino kutendai vadzimu vangu.”
Musi uyu haana kuzovata pamba apa. Akabva angobuda ndiye nyahwa-
nyahwa onanga musango uko akanotsvaga zhira yekuyenda kumusha
kwamai vake.

Chitsauko Chetanhatu
naTafadzwa Chapponda [+263774377654]
Taiziveyi ainge akavhenekerwa neMwedzi muchena paakabira Dewure
rwizi onanga kumusha kwamai vake. Ainge akabata pfumo rake
kuruboshwe, gana rakapakatirwa pamafudzi uku kumusana akabereka
uta hwake nemuseve. Chinhu chaakanga asina imbwa dzake vana
Sekuseka idzo dzakanga dzava mushure mekudya chikafu chaiva
nemushonga. Aifamba achitedza kazhira kainge kapfumbidzwa vainge
vachibva kumusha kwamai vake vachiuya kumuzinda kuzoita
zvakasiyana-siyana. Vamwe ndovaiuya kuzoita zvezunde ramambo,
vamwewo vaiuya kuzotongwa mhosva dzakasiyan-siyana. Paiva
nemufambo zvekuti aitoda zuva rose rekufamba kuti asvikeko. Utonga
hwotsvuka akanga afamba chaizvo paakapinda mumupata wemakomo
maviri. Ava mumupata muya akanzwa vhunzi rake kumira asi haana
kunyanya kurohwa nehana nekuti akangofunga kuti zvimwe ainga adarika
napaiva namakuva. Akati achinopedza mupata kudai, waneyi vakuru
vesango, mhondoro dzirere zvadzo pakati pezhira. Ainge atosvika padziri
chaipo zvekuti akaona kuti akatendeuka kutiza dzaitoita manyemwe
dzikamudzingirira. Nepaaive ari, akaona kuti hapana kwaaimbosvika.
Mwanakomana akabva ati tumbi kumbira ndokuisa pfumo rake kuruoko
rwerudyi. Zvinyoro-nyoro akabvisa gano rake pandekete ndokurihakira
pamutimwi. Achidzirava shumba idzi ndainge dziri shanu dzaaiona uye
dziri hadzi dzose. Akatya kuti mukono wacho waigona kunge wakavanda
pakachuru kaive pajinga pezhira. Zvakatabva zvatarisa zvichizezana.
Taiziveyi navasekuru vake vaMbudu kuti kana wasangana nezvikara
usafa wakazvipira gotsi nekudaro akaramba akadzvondorana neshumba
dziya. Hana yairova kunge ichabuda muchifuva. “Varikumatenga,
ndionei,” akadaro nechemumoyo. Akabva afamba nhano imwe
achiswedera pane yaiva kumberi. Akabva amira ndokusimudza pfumo.
Shumba iya yakabva yasimuka. Pachinhambo chekuuya kuna Taiziveyi
yakatanga yazamura. Yakatendeuka ndokutanga kufamba zvinyoro-
nyoro ichipinda musango. Dzimwe dzacho dzakabva dzangosimukawo
ndokutevera imwe yadzo. Taiziveyi akaramba akamira paya achiona kuti
dzainge dzayenda here. Akatanga kufamba nenhendeshure kuti
asadzipira gotsi. Akaona afamba chinhambwe akaziva kuti dzainge
dzatosara. Akayenderera mberi nerwendo rwake. Haana
kuzombosangana zvakare kusvika asvike kwasekuru vake.
Chaakatosangana nacho imhembwe yaakapfura nemuseve wake
akasvika kwambuya vake neusavi.
“Mhofu yeMukono,” vakaombera amai vamai vake. “Vadzimba.
Wakatodza vasekuru vako VaMbudu muzukuru,” vakadaro mbuya.
Taiziveyi akangonyemwera ndokuzoti, “muchitendeyiko nhai mbuya?
Zvidiki izvi, ndotombowisa nhoro kana zvakakwidza nyathi chaiwo,”
akadaro akututumadzawo. Vose vakaseka.
“Kwakanaka here kwavabva nhai muzukuru,” vakabvunza sekuru vake.
“Kwakanaka hako zvishoma. Ko ndatobva chiri chikumbo ndibereke.
Ndapotsa ndafa mauro apfuura iwaya.”
“Ko hanzi zvadiizve nhai muzukuru? Handiti waitema ugariri kwauyu,
anonzani mhani uyu wemombe dzokuwanda sababamukuru vako?”
“Anonzi Damba. Sekuru Damba nababamukuru vari kuda kundiuraya.
Handiti musikana wandaifanirwa kuwana mushure mekupedza kutema
ugariri akaroodzwa kumukoma wangu Hama. Hama ndodangwe
raHonzeri, munomuziva sekuru,” akadaro Taiziveyi akugadzirira kuvhiya
mhembwe kuitira kuti mbuya vaise usavi pamoto. Hadyana yainge
yatoiswa machoto kare yakuda kutovira.
“Ko vanoda kuti ufe vachiti waita sei?”
“Handiti Damba haana mwanasikana uku wacho wandakashandira
akatoroodzwa kumukoma wangu. Vanenge vakatomboyedza kundiisira
mushonga musadza musi wandapomerwa mhosva yenhema nemukoma
wangu Hama ndikayendeswa kudare kwamambo. Ndodzoka ndakawana
mugota mangu mune sadza romupunga nenyama yehuku. Nekuda
kwekuti ndakanga ndakaguta ndakabva ndaripa imbwa. Dzakamuka
dzakafa dzose. Musi iwoyo ndakarota ndichidzingirirwa naHonzeri
naDamba. Honzeri akatondibaya nepfumo muhope idzodzo. Ndakazoona
vasekuru vangu vaMbudu vouya kuhope vachiti tiza uyende
kumadzisekuru ako usati waurawa. Baba vanguwo vakati ihope hadzina
mhaka, gara kusvika wapuwa mukadzi. Ipapo ndipo ndakapotsa ndapinda
nomwenje mudziva. Ndaona varume vatatu nhasi manheru vauya
kuzoyedza kundiuraya. Ndapukunyuka napaburi retsono kutaura kwandiri
kuita sekuru,” akadaro Taiziveyi ndokubuda pazhe kunorodza banga.
Akadzoka ndokubatirana mhembwe nasekuru ndokutanga kuvhiya.
Baba vamai vake vainge vatova harahwa ingava nemakore anosvika
makumi manomwe neanoraudzira. Vainge vatochena musoro vasati
vofamba zvavo nemudonzvo. Mazuva avo chaiwo vaiva hombarume
yamandiriri.
“Ah unogara zvako vuno muzukuru nekuti mwana unozvarwa kwose.
Unozvigarira kuno waozviwanirwa mukadzi wako. Mombe dzekuroora
ndinokupa muzukuru. Mhandara dzakanaka muno isaruraude zvako
muzukuru. Zvana Damba nana Honzeri veundyire ava siyana navo.
Vachatongwa navari pasi nevekumatenga,” vakadaro sekuru vake
VaMuchashuvachakanaka asi vachoshevedzwa kuti VaMuchashuva
Chesango.
“Handiti unozviziva kuti makare-kare ndaiva hombarume yamandiriri
kusvika vandishevedza kuti chesango. Mbuya vako ava ndakapfimba
nekuvhima,” vakadaro sekuru.
“Imi matanga kureva nhema. Kureverwa nhema zvako iwe muzukuru.
Hauna kuzotiudza kuti vakadini mai vako, vanun’una vako nehanzvadzi
dzako?”
“Vose vanofara. Ndanga ndave nemazuva akati kuti ndisati ndavaona.”
Damba akasara omuka runyanhiriri achida kunoona kuti Taiziveyi ainge
afa zvamachokwadi here. Ainge anzwa mutsindo madekwana nekudaro
akaziva kuti vana Dadirai vainge vauya kuzoita zvaakanga avatuma.
Ainge avavimbisa mombe mbiri-mbiri kana vachinge vabudirira kuuraya
Taiziveyi. Akanyahwaira achipinda mugota raTaiziveyi. Akapinda mukati
ndokunanga paivata Taiziveyi asi akaona ari magudza chete.
Zvakamunetsa kuti chii chainge chaitika usiku ihwohwo. Akadzokera
kunotsivama zvishoma achimirira kuti kuchene. Kwachena akabva
ayendazve kuimba yairara Taiziveyi. Akabva tsoka dzairatidza kuti vanhu
vanga vachimhanya vachibuda mumusha. Akadzoronda asi akarashana
nadzo muchisango chainge chakapoteredza musha. Murume mukuru
akanetseka zvikuru zvekuti zuva iroro akaswera agere pamba achitya kuti
zvimwe anogona kuvandirwa naTaiziveyi.
“Taiziveyi wandisina kumboona nhasi ayendepi?” akabvunza mumwe
wamadzimai ake.
“Ndiri kutomutsvagawo. Kuti haana kumukira kunovhima? Miseve yake
zvose namapfumo hazvimo mumba make.”
“Ko manzwawo mitsindo yaita kunge vanhu vari kumhanya Mauro?”
“Ehe ndaihwa asi ndiri kutoshaya vangava vanani nekuti ndaronda shoka
idzodzo dzikanyangarika mudondo umo.”
Zvaitoonekwa kuti Damba ainge ane zviro zvaimunetsa mufungwa.
Dadirai akazosvika pamusha paDamba zuva rotorereka. Akasvikotorana
naDamba vachibva vayenda pakavanda.
“Ko chii chaitika,” akabvunza Damba.
“Hatina kumuona isu. Tangoona pamhasa yaanorara pachingova
negudza chete nekudaro tabva tafunga kuti zvimwe akativandira. Aripo
here? Mambomuona here nhasi?”
“Handina ini. Ko ini ndiri kutoti mapedza basaka ini. Mungakonewa
mukomana mumwe chete akatsonga saTaiziveyi ko kuzoti mukasangana
nemikwimba yemarume?”
“Ah anenge anonyumwa kudarika hanga mukomana wacho. Handiti
munoti makambuisira musadza asi akabva aripa mbwa?”
“Hongu asi apa manga muchingofanirwa kumuparadza ari kuhope. Zvino
haana kukuonai here?”
“Aiwa tanga tavhara kumeso namatehwe,” akadaro Dadirai.
“Kana zvadai zvinoreva kuti ndotongwara ndokuti tamuchenjedza,”
akadaro Damba akabata muchiuno.
“Haiwa hazvinetsi tomutsvaga chete. Ndikamuona chero ari payi
handimusiyi,” akadaro Dadirai.
Chitsauko Chenomwe
naTafadzwa Chaponda [Nharembozha +263774377654]
Humadzavarombo paakanzwa shoko rekuti Taiziveyi ainge asingaonekwi
akabva atongoziva kuti aigona kunge atizira kwana sekuru.
Zvakamunetsa ndezvekuti nemhaka yei akatiza asina kuoneka. Nekudaro
akabva adaidza Tichafuma, mwanakomana wake wetatu kubva pana
Taiziveyi.
“Tichafuma mwanangu. Ndoda umhanye kumusha wamai vako unoona
kuti Taiziveyi ariko here nekuti ndinofunga kuti ndokwaatizira,” akadaro
Humadzavarombo. “Kana woyenda usakanganwa pfumo rako mwanangu
nekuti paseri pezvikomo zviya pane shumba dzinorura zvikuru. Kana
ukavirirrwa utsvage pokuvata kana kuti uvate mumuti.”
“Zvakanakai baba,” akadaro Tichafuma. Akabva paya ndokunotora pfumo
rake iro rainge richiri dzva sezvo rainge richangobva mumvuto yaChigogo,
mhizha yamandiriri munyika yaMambo Muturiki, nyika yavaera moyo
yavaDuma.
Apedza kurongedza akabva adzoka kuna baba vake ndokuti, “baba
ndavakuyenda asi ndanga ndichifunga kuti dai ndayenda Tichazoveyi uyu
kuti ndimudzidzise uye kumuratidza zhira yekuyenda kwana sekuru
vake,” akadaro achireva chimunun’una chaive nemakore gumi.
“Asika womuchengetedza mwana. Zhira iyoyo ine zvikara zvakawanda,”
vakadaro baba.
Tichafuma akatorana nemunun’una wake ndokudungamidzana vakanga
kumusha kwamai vavo. Vakaswera vachifamba masikati ndokuzozorora
vonwa mvura murukova rwaiva padyo nemusha waVaMbudu.
Vakazosvika mumusha masekuru vavo kunze kuchangoti svibeyi.
Vakawana mukoma wavo ayenda kunovhima.
“Matevera mukoma wenyu kani?” vakadaro mbuya.
“Eh tatumwa nababa kuti tizoona kuti mukoma Taiziveyi variko kuno
here,” akadaro Tichafuma.
“Ari kuno akauya mazuva mana apfuura. Ko Tichafuma zvawakura,
wakugona kuuya kuno neshumba dzizere mumupata wemakomo
epaMandizvidza paya.”
“Hatina kumnbodziona isu.”
“Ko uyu ndiTichazoveyi here?”
“Hongu mbuya, atokura uyu.”
Taiziveyi akadzoka manheru asina chaakabata.
“Nhasi masango matemazve nhai muzukuru?”
“Zvinowanikwa mumasango mbuya. Mamboswera sei?”
“Taswera zvedu, vanun’una vako vauya. Hanzi vatumwa nababa vako kuti
vazoona kuti uri kuno.”
“Eh ndiriko, vatondiona. Monovaudza kuti ndichauya. Pane varume vatatu
vaida kundiuraya saka ndakazobva ndoita zvokutiza. Movaudza kuti
vasaudza vanhu kuti ndiri kuno.”
Shoko iroro parakasvika kunaHuma, murume mukuru akaita kuvirima
nehasha. Vakangosimuka pamba ndokunanga kumusha wemukoma
wavo, Honzeri. Vakasvika ndokumira pakati pachivahzhe ndokubata
muchiuno.
“Honzeri buda, wanyanya kuyenderera,” akashevedzera Huma uku
pfumo rakanzi dzvi muruoko rwerudyi. Honzeri akanga arere zvake
paakanzwa izwi romunun’una. Akamuka ndokuzamura kwakuzobuda
panze ndiye nyn’unyn’u meso waneyi ndiHuma ainge akabata muchiuno
uku akadzvinya pfumo rake nechepadumbu. Akabva ati, “Ko kwakanaka
here nhai Huma mwana wamai vangu wazomira pakati pomusha
wakabata pfumo kunge wauya kuhondo?”
“Ndoda kuti unditsanangurire kuti nemhaka yei uchida kuuraya mwana
wangu.”
“Inini? Uri kundipumha here nhau Huma. Yakurova zvakadiiko nhamo
yaita kuti fungwa dzako dzitambe navana dzokanganwa kudzokera?”
“Uri kuda kuuraya mwana wangu Taiziveyi nekuti wakamutorera
mhandara yaaida kuroora ukapa mwana wako Hama. Ndiri kuzviziva kuti
iwe naDamba mune rimwero. Pavarume vatatu vaida kuuraya mwana
wangu ari kuhope, vamwe vacho ndimi chete. Zvino nhasi ndauya
kuzoipedza hondo yacho. Hamuguti makaita sei? Zvinhu zvababa
wakakumba zvose zvikaita zvako, wotorazve nemukadzi womwana
wangu?”
Honzeri akatanga ambosekera hake svoto ndokuti, “Nekuonda
kwawakaita uku mwana wamai vangu, ungarisimudza pfumo rikandibaya
ndikatofa iwe? Namafuta azere pamuviri wangu uyu, handioni richipinda
ini. Zvisineyi, ini handina chandakatora kwauri shamwari nekuti nhaka
inotorwa nedangwe. Uri dangwe here iwe? Kana iri nyaya yemukadzi
waHama, ah vana vakapfimbana ndokudanana, ini change kubhadhara
roora remuroora wangu. Chero deno aitorwa naTaiziveyi, maipeiko
kumba kwenyu ikoko kune zhara inoridza muridzo.”
“Saka uri kundidadira nefuma yekupamba? He-e, nhasi ndozvipedza
chete,” akadaro Huma achisimudza pfumo rake. Haana kuona
mwanakomana waHonzeri ainge ari kumashure kwake uyo akabva
amhanya kunobata ruoko rwababamunini ndokunzvengesa pfumo rainge
rakananga pana baba. Zvakabva zvaita gumi rakadya vaviri, pfumo uko
vanhu uko. Honzeri akabva amhanyira kupfumo ndokuti, “Muka
ndikupedzise.”
Mwana akasiya babamunini ndokumhanyira kuna baba.
“Aiwa mhofu ngaidzore matambo,” akakumbira mwana atoona kuti vakuru
ava vangakuuvadzana.
Huma akamuka pasi ndokuputa mavhu. Akatambira pfumo rake rainge
rabatwa nomwana womukoma.
“Ndichakuwana hangu,” akadaro akutendeuka kuyenda kumba kwake.
Honzeri haana kudavira, akangoridza tsamwa. Ava ega akasara ndokuti,
“Baba ava handizivi. Ndini ndakatanga kuona zuvaka ini.”
Zuva iroro Huma akarara hope dzorufu. Akamuka mangwanani achida
kunoteya maduvo ake kurwizi. Akubuda kumacheto akabva anzwa kunge
abaiwa kugumbo rerudyi. Murume mukuru akada kuyedza kufamba asi
zvakaramba ndiye gwadagwa. Akamboshinga asi marwadzo acho aiita
kunge munhu atemwa bhonzo nesanhu. Akabva atsinatira pasi
achishinyira nemarwadzo. Vakatozoonekwa naTichafuma.
“Baba maita sei?”
“Mwanangu ndavakufa. Ndinenge ndatsingwa,” vakadaro vakaruma
muromo wezasi. Tichafuma akabva atoona kuti baba vake vainge
vachirwadziwa. Akabva avasimudza ndokuvayendesa.
“Pane andishinhira chete nokuti ndaita kunzwa chinhu chichipinda
nemushoka yerudyi,” akadaro Huma achigomera. Vana vake vose
nomukadzi vainge vamukomba.
“Zvakutoda VaNdachinonga vauye kuzochinhonga chandirarisa masikati
machena kudai,” akadaro Huma adzingudza musoro nemarwadzo.
“Regai ndimhanye ndinovashevedza baba,” akadaro Tichafuma.
“Mhanya mwanangu, ndarwadziwa.”
Tichafuma akabva abuda ndokumhanya kwaVaNdachinhonga. Akasvika
achifemuruka ndokuwana pane mudzimai wavo mukuru.
“Muzukuru, waita munyama. Vabuda mangwanani. Kwakanaka here?”
“Baba vangu varwara saka vanga ndimhanye kuno kuzotora vasekuru.”
“Vabuda mwanangu. Iwe chidzokera kumba, vachingosvika ndinovaudza
kuti vauye kumba kwenyu.”
Tichafuma akadzokera kumusha akarezuka, apedzwa simba nekushaya
godobori. Akasvika baba vake vakuita zvekuzvongonyoka nemarwadzo.
Mai vaive vagere padyo, “Shingai baba vaTaiziveyi munopora.”
“Ndofa hangu. Ummm, ndofa ini,” vaidaro nekuti vainzwa chinhu chiya
chichiita kunge chakuvabaya nechepamoyo. “Zvavashaya mwanangu
ndichapona iyeni?”
“Munopona baba nekuti vachingosvika vari kuuya kuno,” akadaro
Tichafuma achisimbisa baba vake.

Chitsauko Chesere
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Mhuri yaHuma yakamirira godobori vakaringa zhira nemeso matsvuku asi
godobori haana kuuya. Vaiziva kuti kusvika kwaVaNdachinonga ndiko
kwaiva kupona kwababa vavo avo vainge vochema sekandumure
nemarwadzo. Mbiri yaNdachinonga yainge yakateshera nenyika gore
raaponesa Mambo Muturiki mushure mekunge vamwisa mudoro. Ipapo
mambo akapotsa afa. Haana kuzoudza vanhu kuti nyakushinha ndiyani
asi hakata dzake dzainge dzamududzira kuti ainge ari Mwanawehushe,
munun’una waMambo Muturiki. Hakata dzainge dzadudzira kuti
Mwanawehushe ainge akatarisira kuzogara umambo nekuti Mambo
Muturiki ainge asina mwanasikana nekudaro ainge atononokerwa nerufu
rwemukoma wake. Chimwe chaityiwa naMwanawehushe ndechekuti
Mambo vaigona kuzongopuwa mwanakomana sezvo vakadzi vavo vose
vainge vasati vaguma ura. Kuuya kwemwanakomana mumhuri yaMambo
Muturiki zvaitoreva kuti Mwanawehushe anenge otozomirira kufa
kwemwana uyu kuti atore ushe.
“Tichafuma mwanangu, wadii kumbomhanya zvakare kwasekuru Ndachi,
pamwe vadzoka,” akadaro achigomera arere pasi. Tichafuma akatarisa
chiso chababa vake ndokuona meso achibuda misodzi. Akabva aziva kuti
mukuru uyu ainge arwadziwa. Muupenyu ainge asati amboona baba vake
vachiburitsa misodzi. Ivo vakanga vamudzidzisa vachiti, “mwanangu
kuchema ndokwavanhukadzi, murume anochemera mudundundu.”
Ipapo zuva raiva ratopinda muna varo. Tichafuma akabva pamusha wavo
achimhanya akananga kwaVaNdachi. Akasvika vasipo.
“Inga ndakuudza kuti vachingosvika vanouya muzukuru,” akadaro
mudzimai wacho.
“Zvakanakai mbuya ndavakudzokera hangu.”
“Asi varikuwedzera kani?”
“Zvinonetsa kutsanangura mbuya,” akadaro Tichafuma akufuratira
kuyenda. Manheru iwayo vanhu vakasvinura mukuru achirwadziwa.
Kwonoyedza zvakanga zvisingachabatsiri. Mukuru akamira kutaura.
Ainge angoti udyu meso akatarisa mudenga asi achifema. Mai
vakazvishingisa ndokuti kuna Tichafuma, “Mhanya unodaidza
babamukuru vako.”
Utonga wakanga hwatotsvuka. Tichafuma akatora munun’una wake
ndokumhanya kwaHonzeri.
“Munondimutsa usiku hwakadai kwanaka here?”
“Baba varwara.”
“Kurwara? Vachibatiswa neyi?” akabvunza Honzeri uyo aishevedzera ari
mumba mavahosi vake, mai vaHama.
“Vangotanga vachiti gumbo asi izvezvi havachatauri,” akadaro
Tichafuma.
“Hezvo, ko madii kundiudza masikati tatsvaga rubatsiro nhai Tichafuma
mwanangu. Asi munoti ndinovapedzisa kani?” akadaro achibuda mumba.
Honzeri aiva murume ainge akanwa mukaka akaguta. Yaiva ino
hamburamakaka, ine zidumbu rinoyenda uko. Semunhu aiwana muviri
wake akanga angova mafuta oga. Chimusoro chainge chasara chakati
tinini chakanyura muhuro. Aiti kana achifamba anenge achifemereka
nekuda kwekusimbisa. Vakazosvika pamusha waHuma kwatochena.
Vava kumacheto kwemusha vakanzwa mhere vakabva vaziva
zvazvaireva.
“Ko nhai munun’una wangu wati tadiizve. Ko varikumhepo matirashireyiko
zvakadai? Huma ndakataura naye kuswerazuro akazvigwinyira hake
wani,” akadaro Honzeri.
Vachisvika yanga yangova mhere yoga-yoga. Painge pasingadi
tsananguro dzekuti chii chainge chakaitika. Honzeri akabva apinda
mumba mainge mune mutumbi wemunun’una wake ndokusviko
chonjomara nechekumusoro. Akamuvhara meso ndokupeta maoko
achibva angodzungudza musoro ndokuti. “Ndine urombo mainini.
Murume wenyu aiva kumba kwangu kuswera zuro chaiye. Ainge
akazvigwinyira zvake. Zvakaoma izvi, wayenda hake kunyikadzimu.”
Zuva razosara rovira shoko ratosvika kuna Taiziveyi uyo akauya
achisesedzana nasekuru nambuya. “Neshumba dzinorura pamupata
waMandizvidza, ndotosesedzana nemi,” akadaro Taiziveyi
achizvishingisa. Havana kuzokwanisa kusvika musi wakare iwoyo.
Vakatsvaga pokuvata ndokufuma vopedzisa rwendo rwavo. Vakasvika
pamusha wababa vake zuva rakuda kurova nhongonya. Taiziveyi akabva
atora munun’una wake Tichafuma kuti anzwisise kuti chii chaicho chainge
chatora nzvimbo.
“Tichafuma mwana wamai vangu, nyaya yawandiudza iyi zvinoratidza kuti
baba vakatsingwa. Vakanga vambonetsana nemunhu here?”
“Ndakangonzwa kuti vakapotsa vabayana nemapfumo nemukoma wavo,
babamukuru Honzeri,” akadaro Tichafuma.
“Ndaiona nyaya yacho. Baba vaurawa naHonzeri. Waiva uri kasvava
pakashaika vasekuru vedu, VaMbudu. Baba vakapotsa vafazve
vachinetsanirana nyaya yefuma naHonzeri iyeyu. Dai vasiri vaNdachi
deno baba takavacherera kare-kare. Unoti iwe baba vaiita murombo
akadai ivo baba vavo vaiva neufumi hwakawanda kudaro?”
“Zvino haandizivi Honzeri,” akadaro Tichafuma atsamwa.
“Dzikama chinun’una. Munhu watiri kutaura uyu haisi wekuyendera
nebapu rauri kuda kuita iri. Tinokucherera uri rusvava rwunobuda mukaka
pamhuno kudai. Unoti ini handinawo shungu here? Ndinadzo asi apa
pakuda kuti titombodzikama. Kana zvaiita, Honzeri haatombofanirwi
kuzviziva kuti tinozviziva kuti ndiye mhondi apa. Handiti unozviziva kuti ini
ari kutondida nemhaka yaMachiveyi?”
Tichafuma akagutsurira musoro.
“Rine utsinye zirume irori. Rinoti kushata kumeso roshata zvose nemoyo,”
akadaro Tichafuma achiridza tsamwa.
Zuva raka chengetwa Huma, Honzeri akadaidzira dare remhuri.
“Ndakusheevedzai kuti tiite mukombachuru nenyaya yekufa kwaita
munun’una wangu, baba venyu, kusina tsarukano. Murume akange
akazvisimbira hake kunge utare angava akaoneyi? Panoda kuti
timbofamba semhuri,” akadaro Honzeri. Vanhu vose vainge vakati mwiro
zvekuti waigona mutsindo wesvosve. Hama akakosora achigadzira
pahuro pake ndokuti ati, “Pamusoroi vana baba. Ndinoona sekuti shoko
rataurwa nababa idama rakanaka. Babamunini vangu ndakavaona
mazuva mashoma apfuura aya vakazvigwinyira saka panofanirwa kuti
patsvage chipfukuto chadya baba vangu ava.”
Taiziveyi akatarisa mukoma wake, ndokutarisa baba vake. Mazwi aaida
kutaura akabva agumira parurimi.
“Koi we Taiziveyi, wava kugarepi mazuvano? Ndakanzwa vatezvara vako
vachiti vatova namazuva vasina kumbokuona. Wanga wakapedza here
kutema ugariri kwawaiita?” akabvunza Honzeri.
“Ndanga ndakashanya,” akadaro Taiziveyi ndokunyarara. Babamukuru
vakatoona kuti mukomana uyu ainge asingadi zvekutaura. Izvozvo ndizvo
zvakavarovesa hana nekuti vainge vasingazivi kuti aifungeyi.
“Asika wanga uchinzi hausi kuwanikwa kwaDamba uko.”
Taiziveyi akaramba anyerere akatarisa pasi kunge ari kufunga
zvakadzama. Babamukuru vacho vakaramba vakamuyeva vachiti zvimwe
vachanzwa mhinduro asi haina kuuya.
“Ndinobwereketa newe Taiziveyi.”
“Ndanga ndakashanya, ndichadzoka baba,” akadaro Taiziveyi.
“Ah heya, bva tozokuona wadzoka. Handiti wanga usati wapedza kutema
ugariri?”
Taiziveyi akangogutsurira musoro. Babawo vakazviona kuti mukomana
aida kuti ndangariro dzigare muhana make dzisazivikanwe navanhu.
Izvozvo zvakavapa kuti vafunge kuti mukomana uyu aigona kunge
achivarongera hondo. Nekudaro vakabva varamba vakasimba nerekuti
kuti kufambwe.
“Zvakanaka vanangu. Zvazvadai musatya zvenyu nekuti inini
babamukuru venyu ndiripo. Chose chamashaya munouya kwandiri.
Ndizvozvoka Taiziveyi? Ndiwe mukuru,” akadaro Honzeri. Hapana
akadavira.
Zuva richinovirawo vanhu vakabva vapararira voyenda kumisha yavo.
Honzeri aifanirwa kuvata pamusha kuitira kuti vazofumira kurinda
sapatsika dzavo. Kwakunosviba akabva angonyangarika. Ainge ayenda
kwaDamba.
“Ndoona sekuti apa anenge akarivara wadii kutaura nana Dadirai vapedza
basa?” akadaro Honzeri.
“Hauoni here kuti uyu anoda kuitwa yakaitwa baba vake. Iyi
ndoisinganetsi. Kungomunokora shoka,” akadaro Damba.
“Iyoyo inogona kuti netsei nekuti unoziva iwe kuti Taiziveyi anonyumwa
sehanga. Anoita kunge semunhu anosutswa zvekuti haungombozivi
paamire. Ndavakutya kuti anogona kunge pane chaakatsika. Ukaona bofu
richiti ndokurova ziva kuti rakatiska chitanda. Ngatingoitayi yepfumo.
Akabaiwa usiku ndiyani angaziva kuti ndisu? Uyezve yepfumo yakanakira
kuti hapana anofamba achitsvaga muroyi sezvakuitwa pana Hama uyu.
Nhasi chaiye vanogona kutopedza basa,” akadaro Honzeri.
“Ah zvakanaka iri muzheve iyoyo. Asi muonero wangu inini ndewe gora.
Kuti tichishevedza vana Dadidari izvozvo hazvichaiiti nekuti kwasviba
nekudaro wadii kupa basa iri kuna Hamadziripi. Ko handiti ndiye ane
hondo naTaiziveyi uyu. Handiti Taiziveyi kana otsiva anogona kuuya
nepfumo kwandiri nekuna Hama nekuti ndiko kune mukadzi wake. Kana
Hama iri mhare ngaashandewo tione. Tikamutira zvose tinenge tava
kutomuradzika nezamu mumuromo iye atova murume mukuru kudaro.
Zvinoreva kuti kana ukazoyenda haazogoni kuchengeta upfumi hwako,”
akadaro Damba. Ipapo Honzeri akanga akagumbata maoko asi ruoko
rwerudyi rwakabata rushaya. Aitya kuti Hama akasangana naTaiziveyi
aigona kutozourawa ari iye.
“Zvakanaka, rega ndigoona kuti ndodii manheru ano,” akadaro Honzeri
asi achityira mwanakomana wake.
Akazopumbuzira murima odzokera kumusha wemunun’una wake uyo
ainge ava mushakabvu. Akasvika pava pakati pousiku ndokuwana
varume navakomana vakaita murakatira kuvata pamusasa wainge
wavakwa kunze kwemusha. Taiziveyi ainge avete nechekumucheto
achitoridza ngonono. Akanyahwaira onanga paive parere Hama.
Akazungunusa ndokumutsa. Akataura nezeve-zeve.
“Huya kuno. Usaita ruzha,” vakanyahwaira vachipota kuseri kwomusha.
“Hana yako inomborovawo here nhai mwanangu?”
“Kurovereyi?”
“Hausi kuziva kuti wakabvuta mukadzi wemunhu uye munhu iyeye
anogona kufunga kutsiva kana kuita shaisano okuuraya. Ko haurwadziwi
nezino rako rakadonha? Watova namavendeka iwe uchiri kubuda mukaka
pamhuno. Apa wanga wakatovata apo kunge munhu akafa ko ukabaiwa
ukafira kuhope? Muka shamwari usavata nezamo mumukanwa, wakura
iwe. Zvingada ini izvozvo?”
Hama semunhu aibva kuhope ainge atovhiringika kuti baba vake vaiyedza
kuti kudii. “Zvino ndingaitawo sei nhai baba? Inini mukadzi ndakapfimba
ndikadiwa. Iye kana achiti ndakashaisha ngaayende kuna tezvara vake
avo vakabvuma kundipa mukadzi vachiziva kuti mukadzi wemunhu. Ini
handina kana mhaka apa.”
Baba vakatarisa mwana wavo ndokudzungudza musoro. “Iri rinenge
zungairwa, dununu chairo,” vakadaro nechemumoyo.
“Wakapata Hama. Kutopata chaiko sesheche yehuku. Izvezvi chiyenda
unotora pfumo rako. Ini ndichamutsa Taiziveyi apo ndomukwezva
kusango uko. Iwe tevera, ukaona ini ndotsauka kupinda ibva wamubaya
afirepo.”
Hama akavhunduka. “Chienda,” vakadaro baba.

Chitsauko Chepfumbamwe
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Taiziveyi akanga akatsikirirwa nehope zvekuti haana kumbonzwa kuuya
kwakaita babamukuru vake Honzeri nekumutswa kwakaitwa Hama.
Aitorota zvake agere padare ravasekuru vake VaMbudu nababa vake.
Sekuru vake vainge vagere vakabata mudonzvo vachinge vakautsamirira
zvishoma. Baba vakewo vainge vagere nechekoko vachitosvorwa neutsi
waibuda muhuni dzinenge nyoro dzavakanga vakavesa padare.
“Muzukuru zvaunoona, vavengi vako vari mugotsi maoko chaimo. Baba
vako ava ndakavaudza vakaita nharo, usainda kumusha kwemukoma
wako, ivo zvimuti muzheve ndonye. Nhasi varipi? Havana kuchererwa
zuro uno uyu? Vabvunze, handiti varipo apo,” vakadaro VaMbudu.
Taiziveyi akabva atarisa baba vake avo vakabva vacheuka kutarisi divi
vasingadi kuonekwa chiso nomwana. Zvakamunetsa kuti neyi vaidaro.
“Iwe zvochiita, kana utonga hwatsvuka, chinonyangarika, chero
vakakutsvaga havakuwani. Asi ndoda kuti uzive kuti baba vako ava
vaurawa naHonzeri. Honzeri anozviziva kuti ini tsvimbo dzangu, makano
angu, nemapfumo angu ndakati zvisare naHama. Iye akazvibvuta
nechisimba nekuti anoti ndiye dangwe. Zvaayendesa uyu, anotevera
ndiwe. Uyezve unofanirwa kuziva kuti vanokutya nekuti vakakutorera
mukadzi wako,” vakayenderera mberi VaMbudu.
Ipapo akabva apepuka, hana ichirova. Vashakabvu ava vaiita kunge
vaitova paari chaipo. Akacheuka-cheuka waneyi dzingori ngonono dzoga-
dzoga, chero mangoyi aisara pasi. Kwaiita kunge kune vanhu vanoimba
dziri ngonono dzavarume vakanga varere vakakomba choto. Akabva
afunga kumbozvibatsira hake ozodzoka opedzisa hope dzake. Agere
kudaro akabva ati, “Ah kana utonga hwatsvuka? Ko kana ndikabva pano,
zvirongwa zvamangwanani zvinozoitwa naani? Handiti panodiwa vana
vacho? Ha-a ndongozoyenda zvapera ini. Muchiti vangandiita sei
pavanhu vakadai. Ndongongwarira pachikafu chete.”
Akabva asimuka ndokupukuta guruva rainge razara mumaoko
paaidzamba kuti awane kusimuka. Akafamba onanga
muzibwemungumbungu rerima raiveko. Rima racho raityisa zvekuti chero
mwana muduku haaimbobvuma kutumwa kunotora huni pazhe achitya
kutorwa nezidyavanhu mugomo. Kwainge kwakati mirwo-o uchingonzwa
dahwa rairidza muridzo nechenyazi kwemusha kunova kwaive
nekarukova ako kanga kakati zii, kachingopfungaira mhute yechando
chakanga chosimuka. Taiziveyi paakanoti pote nemusha akabva anzwa
kuti kwatara ndiye cheu ndokuona mumvuri wainge chipoko ndokuziva
kuti vaiva babamukuru vake.
“Ah baba…” akadaro Taiziveyi.
“Mwanangu, wamukawo. Ndiri kutobva hangu kunozvisunungura kuzasi
uko. Ha-a mudumbu manga mandibata. Ndinoona inyama yandadyawo
sebenzi nezuro. Ndaiva ndoita kunge mombe yabva kusina uswa ini
kwangu ichidyiwa zuva roga roga. Zvatonaka zvandakuona mwanangu.
Tofanirwa kumboita kahurukuro kaduku duku sezvo vanhu varere kudai,
hapana unohwa. Tadii tadzira pazasi apo?” akadaro Honzeri ozvuva
ruoko rwaTaiziveyi. Honzeri akatungamira mberi achicheuka kuona kuti
Hama ainge avaona here. Vakapinda mukasango kaye kaive nechenyazi
kwemusha uku Hama akabata pfumo rake achitevera nechekumashure.
Hana yainge ichabuda muchifuva nekurova. Akanga asati ambouraya
kana mbudzi zvayo nekudaro aitya kuti angazvigona here. Aitevera
achinyahwaira kunge shumba inonyangira mhuka.
Honzeri akabva ati kuna Taiziveyi, “Ah ndabva ndabatwa nemudumbu
muya mwanangu, rega ndipote seri kwachuru ako,” akadaro
achitomhanya. Taiziveyi akasara paya ofungawo kuti ayenda pake padivi.
Ipapo Hama akabva asvika ari kumashure kwaTaiziveyi. Taiziveyi
paakanzwa kufema kumashure akabva avhunduka nekuti akafunga kuti
chaive chikara chemudondo. Achicheuka akabva asanganisa nebvute
raHama uyo ainge atosimudza pfumo oda kubaya. Semunhu ainge ane
muviri mutete, Taiziveyi akabva ati svetu ndiye mbikiti kwadero uko pfumo
tichinoti nyonde mumuti. Hama akabva arohwa nehana ndokuvhomora
pfumo rake nekukasika.
“Ko zvaita sei nhai Hama?”
Hama haana kudavira. Akabva aruma muromo wezasi ndokusimudza
pfumo rake, Taiziveyi paakada kuti anzvenge akabva apingwa negwenzi
achibva anowira pasi. Hama akabva ateverawo ndokubva abaya
Taiziveyi. Taiziveyi akabva agomera ndokuti, “Nhai Hama ko
ndakakutadzireyi? Wandiuraya, woti kunditotera mukadzi wondouraya
zvakare? Inga wani handina kumboidza nharo nemi?” akadaro Taiziveyi
achiziva kuti Hama anomupedzisa nepfumo.
“Zino rangu iri, ndiwe. Ifa!” akadaro Hama achivhomora pfumo.
Taiziveyi haana kuzokwanisa kupindura nekuti akanga akunzwa kupera
mweya. Akabva arara nedivi ndiye zi-I akadaro. Hama achiona izvi
akabva asuduruka uku hana ichirova asi ukuzve achifunga mazwi
emukadzi wake Machiveyi.
“Taiziveyi usamuona kunyarara kudaro, anogona kuti achitofunga zano
rekuti odii nesu. Akashanda makore mazhinji achifunga kuti ndichaita
mukadzi wake. Ukaita zvekutamba Hama murume wango, unobaiwa
nepfumo ukafa ukandisiya ndiri kamhandara kudai.” ndomashoko
aMachiveyi ayo.
Akabva azvirova dundundu ndokucheuka osiya Taiziveyi arere pasi.
“Zvapera izvi, ah unofunga ungandigona iwe?”
Akanzwa kuti kwatara akaziva kuti vaiva baba vake. Vakasanga baba
ndokuti, “Zvaitaka? Ndamunzwa obowa. Pawaposha ndepekuti wata kuti
akuone. Wanga uchingofanirwa kumubaya akafuratira zvopera. Zvotoita,
ngatichibva pano.”
“Asi ndapedza naye baba. Amboyedza kunzvenga asi anga asingazivi kuti
asangana nemhare inonzi Hama,” akadaro Hama.
“Wagona, mangwana vachangowana mutumbi wake, tongotiwo kuti
hameno kuti akaurawa naani?” vakadaro baba vacho.
“Ko pfumo harizoti tengesi here?”
“Aiwa torisuka murwizi umo tomboriviga mubako tozoritora pava paya,”
vakadaro baba.
Vakapinda murukova ndokugezesa pfumo ravo ndokutendeuka vonanga
pachikomo chaiva padyo kunoviga pfumo. Vakadzoka mumusha
ndokunyahwaira vonanga mumusasa ndokubva varara painge parere
vamwe. Hapana akavaona asi hapana kupera nguva, utonga hwakabva
hwatotsvuka. Vamwe varume vakanga vorohwa misana nechando
vakabva vamuka ndokutanga kukuchidzira moto kuti vadzinge chando.
Zuva ronobuda Hama akabva apepuka. Chinhu chaakatanga kusangana
nacho madomhwe eropa ainge asere mumakumbo ake. Hana yake
yakarova nekuti aiziva kuti vanhu vakamuona, aigona kunzi ndiye ainge
auraya Taiziveyi. Akabva angoti nyamwi ndiye uyo seri kwomusha, hoyo
tande kurwizi kunogeza ropa. Sezvo pakanga pasina anomuona
akadarika achidongorera mutumbi waTaiziveyi. Akaita kunge airota.
Painge pasina munhu. Akabva abata muchiuno ndokuti, “Asi ndipapa.
Handiti ndiwo muti wakabaiwa nepfumoka uyu? Ichi handicho chikwenzi
chakamupinga here ichi? Uhwu, ehe iri handiti iropaka iri?” akadaro
achinan’anidza pavhu. “Harisati ratombooma ropa iri,” akadaro achitaura
oga. Akashaya kana remuromo. “Ah anogona kunge akasara kamuka?
Asi kana akamuka hapana kwaakayenda chete. Anenge ari padyo-padyo
chete,” akadaro ofamba-famba achitsvaga kuti Taiziveyi angava akazofira
papi chaipo. Achitsvaga kudaro akabva anzwa vanhu kuti hiri hiri achibva
asiya ndokunanga kurwizi kunogeza ropa raiva mumakumbo ake risati
raonekwa navanhu. Akasvika parwizi, mvura ichipwipwitika chiutsi
chechando. Ainge ane ruredzo rwaaive narwo nekudaro akabva ageza
makumbo ndokudzokera kumusha kwaiva navamwe. Akananga paive
nababa vake ndokuvazevezera muzheve.
“Mutumbi waTaiziveyi haupo,” akadaro. Baba vakazvishingisa asi hana
yavo yakarova. Vakaramba vakagara sekuti hapana chavainge vanzwa.
Vakazoti pava paya, vakasimuka ndokutsonya Hama vachibva
vanosangan seri kwomusha.
“Wasvikako?”
“Ehe handiti ndanga ndainda kurwizi kunogeza ropa ranga rakazara
mumakumbo angu,” akazevezerawo Hama.
“Watosvikapo?”
“Hongu baba, ndatoona ropa asi iye haapo.”
“Bodozve, hazviiti, wakanatsobaya here iwe?”
“Hongu baba nechepachifuva apa pfumo rikatobuda nekuseri,” akanga
akuwedzerera nepakewo.
“Ah kuti akaonekwa navanhu vakamutora? Kuti takaonekwa navanhu.
Aiwa kasira vanhu vasati vakuona, mhanya unotora pfumo rako,
wozvibaya pachidya wototi, Taiziveyi akanga achindirwisa, ndasangana
naye pandanga ndichitsauka ndabva kurwizi,” vakadaro baba vacho.
“Kuzvibaya?”
“Unoda kunzi mhondi?”
“Kwete.”
“Bva chiita zvandakuudza. Pota neseri kwetsapi uko kwausingaonekwi
navanhu. Usavonekwa navanhu,” vakadaro baba vacho. Hama akabva
aita zvaakanga audzwa asi neukwara hwake akanzwa kuteta kukuru.
“Kuzvibaya?” akadaro achifamba akananga kubako kwavakanga
vakaviga pfumo raakabaya naro Taiziveyi.

Chitsauko Chegumi
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Honzeri akanzwa urozvi huchiita kunge hurisikwa nemusika wesadza.
Akanetsekana zvikuru asi haana kuda kuti vanhu vaone kuti ainge ane
zvinomunetsa. Mubvunzo wake waingova iwowo wekuti chii chainge
chaitika kuna Taiziveyi. “Asi ndamunzwa achiridza mhere ini. Achitoti
wandiparadza. Kuti anga achireva nhema? Asi kana zvakadaro ropa
raonekwa naHama rabvepi? Zvinogonazve kuti pana vanhu vationa
vakauya kuzotora mutumbi wake. Asi vangava vanaani usiku ihwo huya?
Apa potoda kungwara nekuti kana Taiziveyi asina kufa, zvinoreva kuti
yatofa kwedu. Dambudziko ndiroroka rekuti iye Hamawo anenge akaota-
ota kunge munhukadzi,” akabva aridza tsamwa zvakanzikwa nemumwe
murume aiva padyo, wehukama hwavo.
“Ko maridza tsamwa kwanaka here nhai Mhofu?” akabvunza murume
uya.
“Kutsvene hako, fungwa dzinombopinda muninga dzakasiyana-siyanaka.
Asi kwakanaka hako?”
Murume huya haana kuda kuramba achibvunza zvakawanda. Akabva
angosimukawo onobatsirana naTapfuma kucheka-cheka usavi
hwaifanirwa kuzodyiwa navanhu ava masikati. Honzeri akabva
angosimuka paakanga agere ndokutanga kushevedzera, “Hama!” Vanhu
vaicheka-cheka nyama vakacheuka-cheuka asi havana kumuona.
“Nhai vakomana mamboonawo Hama here?” akabvunza. “Ko Taiziveyi?”
akabvunzazve Honzeri. Vakomana vaya vakatarisa-tarisa mativi ose asi
vakomana ava vakanga vasipo.
“Ah ini handina kumbovaona kubva mangwanani,” akadaro Tapfuma
otofungira kuti zvimwe Taiziveyi aigona kunge atonyangarika
samanyangarikire ainge aita achiri kwaDamba.
“Ko vangava vayendepi?” akadaro Honzeri akabata muchiuno. Akabva
atanga kufamba nemumunda waivepo oyenda kusango.
“Makunovatsvaga kusango?” akabvunza Tapfuma.
“Hongu rega ndivatarise kudondo neniwo ndichitombotsaukawo hangu,”
akadaro Honzeri onanga kwainge kwabairwa Taiziveyi mauro. Akasvika
paya ndokuona zvechokwadi mutumbi waTaiziveyi wakanga usipo.
Akabva aswedera padyo ndokunan’anidza pasi ndokuti, “Iri kana ririro
ropa raakabuda, haana kufa. Hama anoreva nhema kuti akamubaya
panouraya. Hama chituta chemurume chaicho. Chokwadi kukonewa
kuuraya munhu akafuratira murima asina kana chombo? Haana kufa uyu,
akatosara akamuka akayenda uyu. Hama achitaurayisa nhaka. Zvino
togoziva kuti akayendepi ipapa. Kuti akayenda kwamambo kunoreva? Asi
dai akayenda kwamambo dai Manomano atosvika kumba mangwanani
ano. Asi neronda iroro kuti angava akainda kure? Anoda kutsvagwa
munhu uyu timupedzise asati ati pedzisa.”
Honzeri achinetseka nefungwa kudai, Hama ainge agere pamusoro
pedombo pajinga nebako ravakanga vaviga pfumo achifunganya nenyaya
yekushaikwa kwemutumbi waTaiziveyi uyezve nenyaya yekukuvadza
kwaakanga anzi aite nababa vake. Akagara akabata pfumo muruoko
rwerudyi achizengurira kuzvibaya. Akambosimuka ndokumboyedza asi
akanzwa nyama dzake dzichiteta. Akabva adzokera mukugara ndokuti,
“Neniwo ndaizotora Machiveyi sekuti mhandara dzapera mudunhu muno
seiko? Handiti dai ndisina matambudziko ose. Ko kana ndikazvibaya
ndikasapora, ndikafa handiti iye Machiveyi anosara ogarwa nhaka
nomunun’una wangu?”
**************
“Taiziveyi haawanzofamba asina zvombo zvake, pfumo rake, gano rake
nemiseve yake iri pano, saka angava ayendepi?” vakadaro VaChesango,
sekuru vana Taiziveyi, baba vamai.
Vanhu vainge vakamira vakabata muzviuno, vamwe vakagumbata
maoko. Honzeri ainge akatarisa pasi achiita kunge anga asingazivi
zvakanga zvaitika kuna Taiziveyi.
“Tanga tadii kutsvaga mudondo umo. Ko manga mazviona here kuti
naHama haapowo. Kuti havana kubuda mangwanani vose here? Kuti
Taiziveyi haana kunoteya maduwo ake kurwizi uko. Zvimwe vati regai
tibatane mukoma nemunun’una tiyende kunodongorera tose,” akadaro
Honzeri.
“Ummm, zuva rinenge rakwira iri. Dai vayenda kumaduwo, deno vadzoka
kare kare. Uyezve, havaimukira kudaro vachiziva kuti kune zviKaranga
zvanga zvichifanirwa kuitwa kuguva rababa vavo.”
“Ah saka vangava vaindepi,” akadaro Honzeri ichiedza kushushikana
zvikuru.
“Ah Hama uyo,” akadaro mumwe murume achitendeka Hama uyo aiuya
akabata ruoko rweruboshwe achiratidza kuti ainge akuvara zvakaipisisa.
Ainge akarwusunga negavi kudzivirira ropa iro raijuja kunge rwizi.
“Ko zvaanenge akuvara,” akadaro Honzeri achibuda muvanhu onanga
kumwana. “Ko zvaita sei nhai Hama?”
“NdiTaiziveyi, anga achida kundiuraya ndikapukunyuka,” akadaro
achigara pasi. Vanhu vakauya ndokumuunganira, vamwe vachiongorora
roda rake reparuoko.
“Sakai chi chii ichi?”
“Anga achida kundibaya, zvino ndakwanisa kunzvenga ndokutiza.
Ndamutaranza zvekuti naye angosara akabata muchiuno.”
“Ko hanzi zvaita sei?” akabvunza mumwe murume.
“Hanzi wakanditorera mukadzi wangu. Ndoona sekuti ari kurwa hondo
yaMachiveyi. Ehe, ndizvozvo chaizvo.”
“Sakai ye ayendepi?”
“Anenge atotiz nekuti anoziva kuti nyaya yakutosvika kwamambo.
Anditora runyanhiriri pano achiti akateya maduwo ake. Anga achiti
ndimuperekedze kunomatarisa, tasvika pazasi apo, abva atondibvutira
pfumo rangu ndokuyedza kundibaya naro,” akadaro Hama achiratidza
kuti airwadziwa zvikuru.
“Ah inga mwana waHuma apanduka kuita chmbwa mupengo zvokwadi.
Handiti iwe wanoroora here? Mhosva haisi yako asi kuti mhosva
neyavatezvara vake, Damba vakaita undyire,” akadaro murume uya.
Vamwe vose vainge vakangogumbata maoko vachidzungudza misoro.
“Asi nhai mukoma Hama, ko Taiziveyi aikayenda kuma duwo nguvai iye
munhu anga ari pakuchema baba vake? Nyaya yenyu haina kujeka
mukoma,” akadaro Tichafuma.
“Saka uri kuti ndinoreva nhema here nhai Tichafuma? Handeyi
ndonokuratidzai pazvaitikira, munoona ropa rangu zvose neshoka
yaTaiziveyi inenge iripo. Handirevi nhema ini.”
“Asi Taiziveyi asiya zvombo zvake, saka anenge akurwisa sei?”
akabvunza Tachafuma.
“Inga ndati, aita zvekundibvutira pfumo ndokuyedza kundiuraya. Hauna
kuzvinzwa here nhai Tichafuma. Mukoma wako imhondi, ari kuda
kundiurayira mukadzi wangu.”
“Tadii tayenda kuri kurehwa nomwana tanoona paanga afira,” akadaro
Honzeri. Varume vose vakabva vadungamidzana voyenda kuya
kwaitaurwa naHamadziripi. Hamadziripi wacho aifamba akabata ruoko
rwake akatungamira. Akabva ayenda navo paakanga abayira Taiziveyi
mauro apfuura.
“Munoona, uswa kudonha uku ndini ndanga ndatombowa pasi,
ndogwesha ndichinzvenga pfumo. Apa pamuti pamunoona apa, ipfumo iri
ranga richifanirwa kunyura mudundundu mangu. Ndapotsa nepaburi
rerungi, dai ndafa nhasi,” akadaro Hama. Tichafuma haana
kundendeseka nazvo asi sezvo Taiziveyi anga asipo, hapana rimwe divi
renyaya raaikwanisa kunzwa.
Nyaya payakasvika kumadzimai, mai vaTaiziveyi vakatanga kuzvirovera
pasi vachichema. Zvaivanetsa kuti Taiziveyi aida kutsiva hondo dzake
parufu sei. Nyaya yakazosvika kwamambo uyo akabva audza machinda
ake kuti panongoonera Taiziveyi vaifanirwa kuuya naye.
“Magara munozviziva imi, muno mudunhu hatidi mhondi. Kana chiri
chokwadi chokuti Taiziveyi anga achida kuuraya mukoma wake, ah
ngaauye kuno kudare timutonge.”

Chitsauko Chegumi nechimwe


naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
“Nhai mhai, munoona sekuti zviri kutaurwa naHamadziripi
ndezvechokwadi here? Mhai muchiri kutondera imi kuti akamboreva
nhema pamberi padare mwedzi yapfuura iyo? Mhai, Hama akatora
musikana aifanirwa kuita mukadzi waTaiziveyi, nekudaro iye, baba vake
naDamba, vari kuda kuti Taiziveyi afe,” akadaro Varaidzo achitaura namai
vake.
“Iwe, wakazvihwepi izvozvo. Uri Vamoyo vedunhu rino iwe, makuhwa
wakaadzidzepi?”
“Haasi makuhwa amai, asi kuti ndozvokwadi yandiri kutaura iyi. Kana
baba vari munhu anogona kutonga samutongi gava, vanofanirwa
kuinzvera nyaya iyi zvakadzama. Vanhu havasi kuda kuona Taiziveyi ari
mupenyu pamusaka pekuti vanoziva kuti achada mukadzi wake. Damba
haana mwanasikana saka vanozviziva kuti pachanetsa apa.”
“Nhai Varaidzo, ko wapindwa neiko nhasi? Nyaya dzauri kutaura idzi
inyaya dzamakuhwa saka hatidi kunzwa kuti wagadzwa dare pamusha
pano uchinzi wapumha vanhu uroyi,” vakadaro amai.
“Ini zvinondirwadza zvangu. Dai ndiri munhurume ndichigara matare? Ah
ndaivagadzirisa vana Honzeri nana Damba vaya, inhubu dzavanhu
varume vaya. Vane undyire hunotyisa. Hazvishamisi kuti kufa kwaHuma
ndiye Honzeri iye uya.”
“Varaidzo haunzwi wakaita sei?”
“Dai ndiri munhurume mhai, ndazogara zvangu pachigaro choushe? Ha-
a ny’any’a dzakaita sezviya ndodzidzinga mudunhu muno. Kudzinga
chaiko. Vanondisvota varume vaya. Munoziva zvenyu mhai, Taiziveyi
urombo zvahwo asi anoshanda nesimba mukomana uya. Dai
vakamushaiwa,” akadaro Varaidzo asingamboteereri kutsiurwa kwaaitwa
namai vake.
“Zvino hausi murume, saka matare avarume haaneyi newe,” vakadaro
amai.
Kumusha kwaHuma Taiziveyi haana kuzowanikwa nekudaro vanhu
vakazoparara. Tichafuma akaperekedza sekuru vake kumusha kwavo
vose vane chivimbo chekuti vainowana Taiziveyi ariko sezvo aitiza
mhosva dzake dzekuyedza kuuraya mukoma wake Hamadziripi. Sezvo
aifamba navatana, vaifamba zvavo vachinanaira kunge kamba. Vaimboti
vakati fambe-fambe vombozorora havo. Kana kwavira vaivaka musasa
Tichafuma ovesa mavivi emwoto kuitira zvikara zvomusango. Vakaita
rombo rakanaka kuti havana chavaka sangana nacho murwendo rwavo.
Vachisvika pamusha wasekuru vake vakatanga nekuvhunza vana nezva
Taiziveyi.
“Haana kumbouya kuno,” kakadaro kazukuru kaigara nambuya vavo
kachivabatsira kuchera mvura nekutsvagawo huni.
“Ah, unorevesa here?” akadaro Tichafuma akabata muchiuno.
“Ndorevesa, ndaiti ari kurufu kwamuri kubva ikoko,” akadaro mwana uya.
“Ko zvazvakaoma. Haako kumusha kwatabva. Sekuru, hamuoni kuti
tinogona kunge takabatwa kumeso. Pamwe Taiziveyi akaurawa
naHama,” akadaro vose vachibva varohwa nehana.
“Unogona kunge uchirevesa,” vakadaro sekuru. “Nekuti kana akatiza
aifanirwa kuuya kuno nekuti ndiko kwaakambotizira paya paaiti aida
kuurawa naDamba,” vakayenderera mberi. “Baba vako vaya havasi
munhu akanaka. Handisi kuvachenesa parufu rwababa vako.”
Tichafuma akabatwa nehasha ndokubva ati, “Zvino ini vanondiona.”
“Ah muzukuru kana uchida kuchererwa uri mwana mudiki chiita zvauri
kuda kuita izvozvo. Vanhu vakashata ava. Kushata chaiko, imhondi.
Unourawa senda muzukuru, kungotswanywa nechara kudai,” vakadaro
sekuru. “Kana uri munhu akachenjera, unongoita kunge usina zvaunoziva
uchinyaradza mai vako uku uchitsvaga-tsvaga kuziva kuti mukoma wako
angava akayendepi.”
Tichafuma akashushikana zvikuru mufungwa. Haana kana kuzokwanisa
kurara pamusha pasekuru vake. Vakamboyedza kurambidza kuyenda
sezvo zuva ranga rava kutodongorera muna mai varo asi akaisa zvitanda
muzheve.
“Muzukuru usazonorwisana hako nana baba vako,” vakashevedzera
sekuru, Tichafuma atobuda chivazhe. “Kana kwasviba usaramba
uchifamba, pane shumba dzinorura mumupata waMandizvidza umo,”
vakadevedzera zvakare sekuru. Tichafuma haana kumbozviteerera,
fungwa yake yaiva yekuti asvike kumusha anatsotsvaga pakaurairwa
mukoma wake. Kana apawana aida kuzopisira Honzeri nemhuri yake
yose mumba. Ainge ane shungu zvekuti haana kumboona kuti kwasviba.
Akanyengedzwa nemwedzi nokudaro akaramba achiyenda chete.
Akasvika pamupata waMandizvidza patova pakati peusiku. Mwedziwo
wainge wakunyura zvekuti mumupata mainge mava nekamhindo.
Akapedza mupata zvakanaka, moyo ndokunyevenuka nekuti ndiyo
nzvimbo yainyanyotyiwa navanhu nekuda kwshumba dzakanga dzadya
vanhu vane chitsama. Achipedza mupata aibva ananga mumateru
ainanga murwizi. Ainge otonzwa kufefetera kwekachando kaisimuka
murwizi paakanzwa chitanda kuti pwa-a. Akabva ati cheu ndokutarisa asi
hapana chaakaona. Akada kuramba achifamba asi mumwe moyo
wakaramba. Akabva atendeuka ndokusangana nacho chikara. Haana
kunge azviona kuti akabva mumupata achiteverwa nemukono
weshumba. Ndiko kaive kekutanga muupenyu hwake kuita mahweke
nevakuru vedondo. Akada kuti adududze asi akaona kuti shumba
yaisvetukira. Saka chakanga chasara ndechekuti iye afe kana kuti
shumba ife. Ruoko rwake rwerudyi rwainge rwakabata pfumo rwainge
rwoita kunge chembere ine netemhwa kuri kuhuta. Shumba yakanga
yakatsivama yakavanda namauswa, yakamirira kuti mukomana
atendeuke yobva yamusvetukira. Zvakaramba zvakatarisana murimamo,
uku musana waTichafuma woundurwa nechando chaisimuka kubva
murwizi. Hameno chakamupfeka achibva asimudza pfumo ndokukanda
nhanho akananga kushumba. Shumbawo yoona munhu achiuya yakabva
yasvetukira mudenga ichida kunomhara pahuro chaipo. Tichafuma
akangonzwa kunge munhu atemwa nezibwe, zvichibva zvaita gumi
rakadya vaviri, shumba pamusoro, munhu pasi. Tichafuma akazonzwa
kuti nyakata-nyakata riri ropa iro raidziya. Fungwa yake yakamuudza kuti
watofa, iropa rako. Akazoita zvokuzvizvuva kubva pasi peshumba
ndokuona kuti vakuru vakanga vava kutandadza. Vari mumhepo
vakasangana nepfumo rake iro rakanyura nechepadivi pediti
richinozorora riri mumoyo chaimo.
Akatura mafemo asi hana ichirova kunge ichabuda muchifuva.
Zvakamushamisa kuti ainge auraya mukono weshumba. Haana kuda
kuramba aripo nekuti aitya kuti dzimwe dzacho dzaigona kunge dziri
padyo. Akafamba achingocheuka cheuka kusvika abira rwizi. Achipedza
kubira rwizi akabva aona mwoto kuti n’ai n’ai mwoyo uchibva
wasungunuka. Akafungira kuti waiva musha kana kuti musasa
wemumwewo munhu ainge avirirwa. Akafamba akananga kumwoto uya
waneyi mavivi chaiwo. Painge pane munhu akanga avakawo musasa
wake ageremo achidziya mwoto agere padombo.
Tichafuma akaombera achipinda mumusasa uya.
“Wavirwawozve? Pinda chikomana, unobvepiko?” akadaro murume uya
ainge atova wechikuru.
“Ndavirirwa mukuru wangu. Ndiri kubva kumusha kwamai vangu.”
“Heyasu, hausi muzukuru waChesango here iwe? Huma yako
yakafanana nomwanasikana wavo uya wekuroorwa naHuma,
wekushaika mazuva apera aya.”
“Ndini chaiye,” akadaro Tichafuma achinyemwerera.
“Sununguka hako mwanangu. Mwoto ndowoyu. Ko wanga wafaka
mumupata waMandibvira umo,” akadaro murume uya.
“Ah ndanga ndafa mufunge. Mukono weshumba wanga uchindinyangira
ndikaubaya nepfumo,” akadaro Tichafuma.
“Eh ndazviona kuti wakashinga uye uri mhare yemurume. Ndosaka
ndavesa mwoto uyu kuti umbozorora pano wozosimudzira rwendo
kwachena.”
Tichafuma akabva ambonyarara. Ko vanga vaudzwa naani kuti
amborwisana neshumba? Akazvishingisa akati pamwe munhu uyu
aishopera.
“Saka nhai baba, imi munonzi ani?”
Murume uya akaseka zvake ndokuzoti, “Inini? Ndinonzi Mapereasiyana,
vanondiziva vose mudunhu muno. Ndaiva muvhimi mukuru.”
“Maiva muvhimi? Ko makaregerei kuvhima, munenge muchiri kuzvihwa
wani?”
Akanyemwerera murume uya ndokuti, “ah ndakarega zvangu. Gumbo
rangu reruboshwe iri rakavhunika saka handichamhanyi sakare.”
“Ho-o,” akadaro Tichafuma. Hopewo dzakabva dzazouya vachibva
vavata. Tichafuma akabatwa nehope zvekuti akapepuka zuva ratobuda.
Akashamisika akavata pamhene pasina chinhu. Akacheuka kuti aone
pavakanga vakavesa mwoto mauro asi haana kuona kana dota zvaro.
Akatarisa musasa waaiona mauro ndokuushaiwa. Akapukuta meso
ndokutarisazve asi hapana chaakaona.
“Kuti ndairota? Kwete, ropa reshumba ndichinaro, heri rakaomera paditi
pangu apa,” akadaro achitaura oga. Akasimuka ndokupukuta guruva.
Akacheuka cheuka kuti zvimw achaona munhu asi hapana chaakaona.
Chero dombo rakanga rakagarwa naMapereasiyana, haana kuriona.
Akatsvaga zhira ndokutanga kufamba achiyenda asi achingocheuka-
cheuka.
Ati fambeyi akabva aona mumwe musha ndokutsauka achiti akumbire
mvura. Apedza kunwa mvura akabva abvunza mai vaya kuti paiva
pokwani.
“Pano ndepa Mapereasiyana. Asi baba vakashaya zvavo makore matatu
apfuura, vakarumwa neshumba vachivhima kumupata waMandibvira uko,
ndosaka kuchityiwa navanhu,” vakadaro mai vaya

Chitsauko Chegumi nembiri


naTafadzw Chaponda [+263774377654]
“Saka nhai mwanangu, wangoti iwe murume wako ongofa zvisina
tsarukano, mwana wotsakatika, mongosiya zvakadaro?” vakadaro mbuya
vaTaiziveyi avo vakanga vambosara vachinyaradza mwana wavo
pakadzokera murume wavo kumusha.
“Ndaitofunga nezvazvo mhai asi kutiwo semunhukadzi, ndaishaya kuti
ndotangirawo papi.”
“Wadii kutaura nomwana, Tichafuma nekuti zvimwe zvinhu zvinoda kuti
zvimbofambirwa.”
Manheru iwayo, amai vakabva vataura naTichafuma maererano
nekunyangarika kwomukoma wake.
“Tichafuma, ndiwe watova baba pano pamusha. Baba vako vakayenda,
mukoma wako akanyangarika semhute yaona zuva saka zvazvadai iwe
ndiwe watova baba pano. Ndiwe watova murume wangu pano. Saka
ndanga ndichida kukuvhunzawo kuti tongogara here tisingazivi kuti
mukoma wako uripi?”
Tichafuma akabva amboti zii akabata rushaya.
“Inyaya inotondinetsawo zvikuru mhai. Ndakambofunga kuti zvimwe
timbofamba asi ndambudziko ravapo nderekuti vaNdachinhonga kubva
zvavakafamba mwedzi wapfuura havasati vadzoka saka handina kumwe
kwandinoziva kwatingawana rubatsiro.”
“Saka hauna kumbomuonawo chero kuhope zvako achikuudza paari.
Kana kuri kuti akatsakatika, ko ngaauyeka kuhope atiudze kuti ari papi?”
vakadaro amai. “Mbuya vanga vati pane kwatinogona kuyenda kumusha
kwavo tonoona umwe godobori ariko. Zvimwe tinogona kuratidzwawo
chokwadi.”
“Handioni chakashata mhai, tinogona kumukirako mangwana runyanhiriri
kuti tonovata tava kwasekuru.”
Nekudaro zuva rakatevera vakamukirobata jongwe murumo ndokunanga
kwana sekuru vake. Tichafuma aifamba kumashure, chembere dzake
mbiri dzakatungamidzana mberi. Aifamba achicheuka –cheuka kunge
munhu aivhima.
“Pano apa ndipo pandakapotsa ndafira.”
“Muno munotyisa muzukuru. Izvezvi hana hangu iri kuridza ngoma,”
vakadaro mbuya vakabereka maoko.
Tichafuma akanga asina kuvaudza nezvaMapereasiyana nekudaro
havana kuzombomira panzvimbo iyi vopfuurira kuyenda. Vakazotura
mafemo vadarika mupata wembiri uyu. Vakazovirirwa nezuva votozosvika
vanhu vachangopedza kudya chirairo votodawo kuyenda kunovata.
Kusvika kwavo kwataozoita kuti vasikana vagadze shambakodzi pachoto
kuti vamone sadza. Rakangozobikwa zvaro nomufushwa nekuti nguva
yakanga yayenda uyewo vakanga vaneta zvikuru nekufamba. Mangwana
acho, Tichafuma namai vake vakafumira kuyenda kwagodobori avainge
vaudzwa kuti vanonzwawo kuti igonyei rakanga rapinda mumusha mavo.
“Ko baba chaivo vemusha varipi?”
“Vakashaika mwedzi wapera.”
“Eh izvozvo ndozviziva asi hapana kana munun’una kana mukoma
wavo?”
“Varipo.”
“Ehe-e, iyeye aripi? Nekuti ini handitauri navana.”
“Asi nhai vasekuru, ko kana munhu wamuri kuda uyu ariye muvengi
wedu?” akabvunza Tichafuma.
“Saka uri kureva iwewe kuti vasekuru havachina meso here?
Ndozvaunoreva?”
“Ngaisiye matambo sekuru, paposheka. Muromo wepwere sekuru,”
akadaro Tichafuma achiombera.
“Chiendayi munodana munhu wandataura, ndapedza,” vakadaro sekuru
vaye. Tichafuma namai vakashaya neremuromo nazvo.
Vakabva pamusha ndokudungamidzana vakanyararidzan. Mai ndivo
vakazotanga kutaura vatombofamba.
“Asi ndonoona hangu kuti zvimwe sekuru ava vanoda kunyadzisa
Honzeri. Ehe Honzeri ndiye akatinyadza,” vakadaro mai.
“Ko varegereyi kungotaura?”
“Pamwe vanoziva kuti zvinozokonzeresa mhirizhonga.”
“Zvino tichadii nhai mhai?” akabvunzawo Tichafuma.
“Zviri nane uudze babamukuru vako, tiuye navo kuno.”
“Zvino vanobvuma?”
“Vanotofanirwa kubvuma.”
Vakazoita mazuva matatu variko ndokuzohwirira vonanga kwavo vari
vaviri. Vachinosvika kumusha, Tichafuma akabva atongoshinga
ndokunanga kwababamukuru vake Honzeri kunovatsanangurira
zvakaitika pavakafamba.
“Saka nhai Tichafuma, iwe ndiwe ani mumusha uno iwe?”
“Muchireveyi nhai baba?”
“Ndati uri baba vemhuri here iwe? Unoreva kuti wakafamba zvisina
mvumo yangu sei? Waida kuyedza kuita sei? Saka unoreva kuti ndini
ndakarowaka apa?”
“Ah ko nhai baba zvashata papizve?”
“Pawaiyenda ikoko namai vako, handiti hamuna kundiudza? Saka apa
mavakuda chii zvakare? Sezvo wakura, wava baba vemusha, chiitaka
ubaba hwacho.”
“Ndine urombo baba, zvakaitika ndezvekuti taiva kumusha kwamai
tikangonzwawo kuti pana sekuru vaigona kutibatsira tichibva
tangosvikawo napo. Munoziva imi baba kuti mukoma vava nemwedzi
wose vasingazivikanwi kuti varipi. Taidawo kuziva kuti chero kuti
vakatsakatika, todawo kuziva pavari. Hazvina kunaka kuti munhu
anongorova kunge chipuka chemusango. Munhu anoda kuti kana achinge
atsakatika adzoswewo mumusha kuitira kuti mweya wake usadzivaira
namatondo,” akadaro Tichafuma.
“Saka iwewe wakuudzwa zvekuita namadzisekuru? Uri mwana
waChesango here iwe?
“Aiwa handisi.”
“Kana usiri mwana waChesango, unoita zvaunoudzwa nesu madzibaba
ako kwete kuita zvomusoro wako. Unondihwa?”
“Hongu baba.”
“Ehe, chidzokera kumba kwenyu. Ndichauyako,” akadaro Honzeri.
Tichafuma achiyenda, Honzeri akasara achitura befu. Akabva ati, “Mujaya
uyu akuda kuonesa. Anoda kuti avharwe meso akuda kuvhurika zvisina
basa iwayo.”
***********
Kwakapera mwedzi wose, Honzeri asina kuuya kumusha
kwanaTichafuma sekuvimbisa kwaakanga aita. Akangozoti nerimwe zuva
ari mangwanani-ngwanani, ndokusvika, achifamba navanakomana vake
pamwe chete nemumwe murume wavasina kuziva. Murume uyu akanga
akatakura zvinhu zvairatidza kuti yaiva n’anga. Musha wose
wakasheedzwa, nevanasikana ndokuunganidzwa muimba yamai
Tichafuma yekubikira. N’anga yakawaridzirwa rupasa ichibva yagara pasi
ndokuburitsa hakata dzayo.
“Ndakushevedzai mose nekuti yasvika nguva yekuti tizive kuti chii
chakakonzeresa mashura akaitika mumusha muno. Munoziva mose kuti
munun’una wangu, Huma anova aiva baba vemusha uno akashayika
zvisina tsarukano. Mwana wedu Taiziveyi akanyangarikawo zvisina
tsarukano mushure mekunge ayedza kuuraya mwana wangu Hama
agere apa uyu.
Hapana akadavira. Vanhu vose vakanga vakati kwaka-a zvekuti waigona
kunzwa kufamba kwesvosve.N’anga yakabva yatanga kurovera hakata
dzayo ichidetembera mashavi ayo kuti aivhenekere. Yakadzvova ndokuti,
“Mhai, taurai zvamakaita murume wenyu.”
Hapana akadavira nekuti madzimai ose aivemo haana kuziva kuti ndiyani
airehwa.
“Mhai, ndorevemi,” yakadaro n’anga yakatendeka mai vaTaiziveyi
nenyanga.
“Ini here?”
“Ah nhai mhai, madireyi kutamba navaripasi muchidaro? Taurai zvakaitika
kumurume.”
“Inga zvaari mashura. Mashura mudunhu,” vakadaro mai vaTaiziveyi.
“Muchadura zvenyu. Ko mati madii? Ropa reMhofu harisi rehuku,
harirovi.”
N’anga yakabva yambosiya nyaya iyoyo ndokutangazve kurova hakata
dzayo. Yapedza ndokuti, “Ndaona makarwe achiita mukariraro
achizvongonyoka ari mumvura. Ummm handipaoni zvakanaka apa.
Hapana kujeka. Ndabva ndaona dziva rose ratsvuka neropa.”
“Nhai sekuru, munoreva here kuti Taiziveyi akadyiwa namakarwe?”
“Ndine urombo, ndozvareva hakata. Dzangu hadziposhi, ndatopedza. Imi
mai imi, durai zvipere,” yakadaro n’anga yorongedza hakata dzayo.
Madzimai akabva atanga kuchema asi mai vaTaiziveyi vakaramba
vakagumbata maoko avo vakatarisa pasi.
“Nhai Mai Taiziveyi munun’una hauchemi mwana wako unonzi
akapedzwa namakarwe?” vakadaro mai vaHama.
“Taiziveyi mupenyu. Zvamunotaura izvi hameno kuti mazvihwepi.”
“Zvataurwa izvezvi pano navasekuru vanga vagere apa?”
“Ah bva-a chemai, wangu ini mupenyu,” vakadaro vachisimuka vobuda
mumba muya.
Tichafumawo haana kana kumboti bufu. Akangotarisa n’anga ndokutarisa
babamukuru vake achibva angodzungudza musoro ndokubuda pazhe
otevera mai vake.

Chitsauko Chegumi Netatu


naTafadzwa Chaponda +263774377654
Varume vainge vakagere vakaruma miromo yezasi uku vakabata shaya.
Honzeri akadzungudza musoro ndokuti, “Varume tinenge takairasha apa.
Munoziva kuti mai vaTaiziveyi vava kuti chinyi?”
“Eh tipe tihwe,” akadavira Damba.
“Vava kuti ngatiiteyi mariro aTaiziveyi?”
“Ko chanetsa chii? Handiti godobori akati iye mwana akadyiwa
namakarwe?”
“Nhai Damba, ko nemhaka yei uchiita kunge mwana wazuro? Hauzivi
murawo wemuno mudunhu kana munhu achinge anyangarika?
Kunoindwa kwavashe avo vanotsvagawo vavo vana godobori vanokanda
dzavowo hakata. Hapadudi zvakanaka,” akadaro Honzeri.
Damba akakwenya musoro ndokuti, “Ah ko unoreva here iwe kuti
godobori uya anogona kunge akaona zvisizvo?”
“Ah neniwo ipapo hapana kundijekera, asi isusu zvinenge zvakatinakira
kuti Taiziveyi anzi afa nekutika, mukomana uyu hatisi kutozivawo kuti chii
chaitika kwaari mushure mekunge abaiwa nepfumo naHama.”
“Sakai mi munoreva kuti mutumbi wake makaushaiwa? Kuti haana
kugwesha akanofira nechekure? Makanatsa kutsvaga here?”
“Takatsvaga hama yangu. Mukati imi kana mutumbi wake uripo dai tisina
kuhwa kunhuwa kana imbwa zvadzo dzichitambira kudivi ikoko?
Ndinoona sekuti kana kuri akafa, akanofira kuresa.”
Honzeri akazobva kuya ndokuyenda kumusha kwake uko akawana Mai
Taiziveyi vakamumirira.
“Kwakanaka here nhai mainini manditsika kudai?”
“Eh kwakanaka. Imi makauya navanhu vanoti Taiziveyi akadyiwa
namakarwe nekudaro takamirira imi vanhurume kuti mutitungamireka
tiende kunoona dziva racho raakaparira. Pedzezvo, toda kuita mariro
emwana mweya wake uwane kuzorora,” vakadaro Mai Taiziveyi, mwana
wavo Tichafuma agere padivi pavo.
Honzeri akakwenya musoro ndokupuruzvira ndebvu dzake ndokuti.
“Mainini nyaya yamunayo inyaya yakanaka zvikuru uyezve ndaihwa. Asi
ndanga ndichiti ini hatifanirwi kubva tamhanya zvakanyanya. Nyaya
yakadai inoda kuitwa zvishoma nezvishoma kuitira kuti tisazorashika
mangwana.”
“Honzeri! Honzeri! Unondiona somwanana haikona. N’anga yawakauya
nayo ndeyenhema uyezve zvose zvamaiita manyepo oga oga. Unorweyi
chaizvo nemhuri yangu iwe. Murume wangu wakauraya, fuma yababa
vake wakamutorera, mwana wangu mukamutorera mukadzi wake, saka
chamunoda chii?”
“Nhai mainini, makundipumha uroyi here? Munozviziva kuti imhaka huru
ndakaireva kwamambo uko?”
“Mambo weikowo? Hauna kuuya nen’anga yenhema kumba kwangu
ikanditendeka uroyi inini? Honzeri kura, waguta kunyarwa haikona,”
chembere yakanga yagumbuka.
“Aiwa mainini, chidzikamai nekuti nyaya yenyu ndainzwa uye
ndoigadzirisa sababa vomusha.”
****************
Honzeri akaramba ozongotsika-tsika nyaya yemariro aTaiziveyi. Akabva
atoita urongwa hwekuparadza zvinhu zvemunun’una wake. Mushure
mezvo vakazoronga zvekuita magadziro emunun’una wake mushure
mnegore nechidimbu. Mazuva iwayo akanga akupota achiswedera pedyo
namai Taiziveyi nekuti aitarisira kuzovagara nhaka.
“Handiti munozviziva kuti ndoga murume asara dzinza rose? Nekudaro,
vanoda munhu anochengeta,” akadaro Honzeri vari padare ravo.
Nyaya iyoyo payakasvika munzeve dzaTichafuma, pakabva pamuka
hondo. “Hazviiti izvozvo. Hazvitoiti zvachose,” akapika mukomana.
“Nhai Tichafuma, unoreva here iwe kuti ndiwe wava kutsvagira mai vako
mukadzi?” akadaro mumwe murume aivawo pamatare acho.
Tichafuma akabva anyarara. Zvakamurwadza nekuti aiziva kuti mai vake
vainge vatova mukadzi waHonzeri. Akainda kuna mai vake akawanika
achichema.
“Ini hangu mwanangu, handizvo zvandiri kuda nekudaro, isu mangwan
tavakutama pano tonogara kumusha kwasekuru vako. Izvi usaudza
munhu, vachangozotiona tisisipo pano,” vakadaro amai.
“Hongu amai, ini chapinda mumoyo mangu chapinda muninga,” akadaro
Tichafuma achinzwa kunyevenuka mumoyo.
Mai vaTaiziveyi vakangomirira kuti vanhu vaparare. Zuva rakatevera
vakabva varongedza mitundu yavo ndokumirira kuti kusvibe vagobuda
vorova nhetserwa vakananga kumusha kwavo. Vaitya zvikara asi
zvaisaita kuti vabude rakacheka nyika, vaionekwa navanhu zvose
zvikashaya basa. Tichafuma nekuziva zvikara zvaiva mumupata
waMandibvira akabva ati kuna mai vake, “Mhai, zviri nane kuti tivake
musasa wedu tichiri nechekuno nekuti paMandibvira paya pane zvikara
zvinotyisa. Zvinenge zvakambonzwa roa ravanhu nekudaro hazvichina
matyira kuvanhu.”
“Ipapo wataura idi mwanangu. Asi tinofanirwa kumuka mumusasa wedu
zuva risati rabuda ndinoona sokuti rinozobuda tabira rwizi tonanga
kumupata waMandibvira.”
“Ndizvozvo chaizvo, muchiti Honzeri anotiwana here? Haachatiwani uyo,”
akadaro Tichafuma.
“Hameno mwanangu, tavakungozvisiira vari pasi,” vakadaro amai
vamirira Tichafuma uyo aitema mashazhu achibatsirwa navanun’una
vake. Twuhanzvadzi twake twainge twakamira mumakumbo amai
nekutya. Apedza akavesa mavivi omwoto, amai vakewo ndokuburitsa
chimukuyu chaivainge varogedza.
“Tiwane kumwira zvimvura vanangu,” vakadaro amai.
“Ah nhai mhai, pakati pousiku apa. Handiti tambodya sadza patabva
kumba?” ndiTichafuma uyo.
“Hazvina mhaka vanhu. Chigochayi chimukuyu ichi muwane
kutsengerera muchitsvaga hope. Vanoda nzungu dzakakangwa dziripo
zvakare.”
Vakazomuka utonga hwatsvuka ndokusimudzira nerwendo rwavo. Zuva
rakazobuda vakukwira makata kunanga mumumakomo ayo aiva
nemupata waMandibvira. Ipapo hapana anga achataura noumwe kuri
kutya. Vasikana vainge voita kupingana makumbo pasina anoda kusara
kumashure.
“Aiwa, ini ndini ndichafamba kumashure. Imi mose endayi kumberi,”
akadaro Tichafuma. Kumberi kwacho hapana aikuda zvakare nekudaro,
kamunun’una kaTichafuma Tichazoveyi ndiko kakazoshinga somurume
ndokutungamira, vakadzi vari pakati.
Pavaipiringishana vari mumupata waMandibvira kudai, Honzeri ainge
afumo bata jongwe muromo kuyenda kumusha kwavo. Akasvika waneyi
rava dongo, vanhu vainge vayenda.
“Ah kuti vanhu ava vakatizaka ava,” akadaro “Aiwa hazvigoni nekuti, uyu
mukadzi ava wangu nekuti ndowenhaka. Nezera rake iro riya angagara
asina murume kuti zvidii,” akabva abuda mumusha ndokutanga kuronda
shoka. Akafamba nadzo achinatsoona kuti vanhu vainge vatora zhira
yekuyenda kumusha kwaMai Taiziveyi.
“Kuti ndipo pandichavabata? Vanange vakabuda usiku vanhu ava,”
akadaro achibva amira. Akabva adzoka kumusha ndokubva atsvaga
nhume yekutumira kumusha kwaMai vaTaiziveyi. Murume uye akabva
atongopinda muzhira ndokuvirirwa nezuva atodarika mupata
waMandibvira. Akazosvika pamusha pavaChesango zuva rakatevera
mangwanani.
“Mukati nhai baba imi hamushuri?” vakadaro mai Taiziveyi agarwa matare
acho.
“Ko ndingashureyiwo hangu nhai Mai Taiziveyi? Ini ndingori nhume,
mutumwa, mutumwa haana mbonje.”
“Chidzokerai munoti hamuna kundiona. Handisi mukadzi wake ini.
Akambondibvisira fuma? Murume wangu ini ndiHuma uye akafa saka
ndava shirikadzi,” vakadaro mai Taiziveyi.
Murume uya haana kuda kuzogara. Akaoneka ndokudzokera kumusha.
Achisvika akawana zvinhu zvisina kumira zvakanaka. Hondo yaMambo
Mukanyairi ainge apinda mudunhu ndokunanga pamuzinda waShe
Muturiki. Vashe vainge vakatodziya zvavo mwoto nemamwe
emakurukota avo. Vaitarisira kuti nharirire dzavo dzainge dzichiona
zvainge zvichiita zvose nechemunyasi mechikomo chakanga
chakavakirwa musha wavo. Havana kuziva kuti nharirire dzavo dzainge
dzambotsumwaira. Vachiti cheu kudai, vakabva vasanganidzana meso
nejinda guru raMambo Mukanyairi venyika yavaHera.
“Changamire, muzinda uno wose wakombwa uye machinda enyu ose
taasunga nekudaro muchaita zvandinenge ndareva,” akadaro
Mbonambona uyo aive rume rakasvika.
Mambo akaita kunge ari kurota ndokupukuta meso. Ipapo mamwe
emachinda aMbonambona akabva aswedera pedyo ndokuisa mapfumo
avo muhuro. Makurukota ainge avatiswa pasi namatumbu. Mambo
vakabva vatoona kuti pavo papera. Vakaita kunge varohwa nezveusiku
nekuti chibarirwe chavo chose, zvakadai zvakanga zvisati zvamboitika
munyika yavo. Vakabva vati, “Nhai mwanangu, usati wandiuraya, ndinoda
kuziva kuti wabvepi?”
“Ini,” akadaro Mbonambona achizvirova dundundu, “Ndini jinda guru
raMambo Mukanyairi. Mazvihwa changamire, simukai pamugere ipapo.”
Mambo akabva ati nyamwi kusimuka. Akabva anzwa mamwe emajinda
aMbonambona achiita ruzha achitinha mwanasikana wavo, Varaidzo.
“Tamuwana, ndiye Vamoyo uyu. Amboda kuvanda asi tamuwana,”
akadaro mumwe wamachinda aya.
“Hamuna kuteura ropa handitika?” akabvunza Mbonambona.
“Hongu.”
“Tsvagai makashu!”
Mamwe machinda akabva amhanya-manya kutsvaga makashu ayo
akasungiswa Mambo Muturiki maoko nekumashura. Rimwe gashu
rakaiswa muhuro vachibva vabatanidzwa nemwanasikana wavo
Varaidzo. Vakatanga kutinhwa semombe dzakasungwa vachidzika
nechikomo. Vakatanga kufamba vakananga kumabvazuva voita kunge
vanoyenda kunyika yavaHera. Vakafamba chinhambwe vachibva
vatsauswa vopinda muchikomo. Vakawana muchikomo muya mune
vanhu vainge vakaungana. Mwanawashe ainge agere padombo. Mukati
mevarume vane chitsama vaivepo, painge pana Honzeri naDamba.
“Vagarise pasi,” akadaro Mwanaweushe akabata abata pfumo rake
nechepadumbu. Mambo Muturiki vakavhunduka zvikuru vachiona kuti
munun’una wavo aigona kunge ane rimwero namachinda aMambo
Mukanyairi.
“Mwanaweushe,” vakadeedzera.
“Hongu changamire, ndini chaiye.”
“Ndiwe here waronga izvi?”
Varume vose vakaseka ndokubva vazonyarara pava paya. “Taona kuti
umambo hunogona kuparara nekuti mukoma wangu, hauna mwanakona.
Unaye here mwanakomana? Uyu munhurume here uyu?” akadaro
Mwanaweushe. “Takaona kuti wanga wakuda kumuswededza-swededza
padyo namatare edu zvino isu vaDuma hatitongwi nemukadzi. Zvapera
Muturiki ndosaka wakagara muvhu ini ndigere pano pakakwirira. Achiri
mambo here uyu nhai varume? He-e Honzeri?”
“Kwete changamire,” akadavira Honzeri.
“Iwe Mbonambona, chiitayi zvamunoda navanhu vaviri ava asi musateura
ropa ravo muno munyika mangu. Kana muchida kunovaita nhapwa, ndimi
kana muchida kuvaponda kana mabira rwizi Nyazvidzi, ndimi. Ini
ndapedza.”
“Ndazvinzwa changamire. Ndichaita sekureva kwenyu asi chikumbiro
change ndechekuti mombe dzamakavimbisa imi pamwe chete
neshamwari dzenyu vana Honzeri avo dziuye mwedzi usati wagara,”
akadaro Mbonambona. “Ini basa rangu ndaita zvakanaka uye handina
ropa randateura muno munyika menyu.”
“Izvozvo ndozvandaida. Wagona. Chienda kumusha kwako uye usarega
vanhu ava vachipukunyuka ndapota,” akadaro Mwanaweushe. Vana
Mbonambona vakabva vasimudza Mambo Muturiki nemwaniskana wake
ndokuvatinha vonanga navo kuna Nyazvidzi vachifunga kuti voiteyi navo.
Chitsauko Chegumi Nena
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Vakati vodzika kupinda murwizi Nyazvidzi, Mambo Mutiriki vakanga
vasingachagoni kufama nekunyara. Vainge vafamba mutunhu murefu
maoko akasungwa nekumashure apazve vasingabvumidzwi kana
kutsauka kuti vazvibetsere.Muhuro vainge vakasunganidzwa nomwana
nokudaro vaingongundurudzana vakadaro vachitinhwa semombe
naMbonambona nemachinda ake. Vaifamba vachitaura nyaya dzavo
dzakasiyana-siyana vachiseka. Dzimwe dzacho dzaive dzekufuma
kwavaizoita kana vachinge vapuwa mombe dzavo naMwanaweushe uyo
akanga atova Mambo wavaDuma. Varikutaura kudaro Mambo Muturiki
vakabva vati gwadagwa kugwadama pasi sezvo vakanga vasingakwanisi
kuyenderera mberi nerwendo.
“Ah, nhai changamire, zvagombera here?” akadaro mumwe wavarume
vaya vachiseka zvake.
“Uchiti pachine munhu here? Vapera nekuchembera. Kagwendo ikaka
munhu haachatogoni kufamba?” ndeumwe wacho.
“Chisimukai vakuru, hatina nguva yekutambisa,” akadaro Mbonambona.
“Vanangu deno mambondihwiravo urombo nekuti handichagoni. Kana
mukabvisa maoko angu kumashure uku pamwe ndikafamba zviri nane,”
vakadaro Mambo vagere muvhu vakatarisa Mbonambona mumeso,
vachinzwisa urombo.
“Simuka mhani,” akadaro Mbonambona achivazvuv neruoko. Mambo
akadzamba norumwe ruoko asi nekuda kwekuti Mbonambona aiva
nesimba guru, vakabva vazvuviwa ndokukuzvuka chanza.
“Wandikuvadza mwanangu.”
“Handisi mwana wako inini. Ini baba vangu vainzi Mushereketi, kwete
Muturiki,” akadaro Mbonambona. Varaidzo ainge achema misodzi
ikagwamba. Apa aiva angomirira zvake kufa. Akabva ati, “Madii
machitiuraya henyu?”
Varume vakapwatika kuseka ndokuti, “Kufa unokuziva iwe nezera rako?
Ukafa haudzoki. Wadii hako waita mukadzi wangu?” akadaro mumwe
wemachinda.
“Eh, eh iwe, saka watowana mukadzi ipapa?” akadaro Mbonambona.
Mambo vakazotsungirira ndokusimuka. Vachingobira rwizi Nyazvidzi,
vakati fambe-fambe ndokupinda muchisango.
“Ya-a, tasvika. Ino yava nyika yedu isu vaHera saka tavakukwanisa kuita
zvatoda nemi. Mochisarudza kuti moda kufa sei, tinogona kukugurai
misoro nemapanga kana kuti kukubayayi namapfumo pachifuva,”
akadaro Mbonambona.
“Chero zvawaita mwanangu. Kufa kufa, kana waona zvakakodzera kuti ini
munhu waShe ndife sembwa, ndiwe. Ko handiti parizvino ndiwe uri
kutonga? Hazvina mhaka,” vakadaro Mambo Muturiki.
“Nhai changamire, muri kuda kundishuridzira munyama here?”
“Kwete mwanangu, iwe uri mutumwa. Mutumwa haana mbonje nekudaro
iwe ita basa rako sekutumwa kwawaitwa,” vakadaro Mambo.
“Nhai machinda, toita sei nembwa mbiri idzi. Toyenda nadzo here
dzonoitwa nhapwa dzaMambo kana kuti tovaurayira pano? Uyu musikana
anogona kuzova mukadzi wangu nekudaro ndichine fungwa mbiri paari.
Harahwa iyi handioni kana ichine basa ini,” akadaro Mbonambona.
“Zvino mukauraya baba vangu, motouraya neniwo,” akadaro Varaidzo.
Machinda akabva aseka ndokuti, “ko handiti hatidi kukuuraya?”
“Ndozviuraya,” akadaro Varaidzo.
“Achizviuraya kupiko, fungwa dzeupwere,” akadaro Mbonambona
achisunungura Mambo kuti awane kuvauraya zvakanaka.
Vasunungurwa, Mambo vakabva vasungwazve, asi pari zvino dziri
mbiradzakondo.
“Sakai we unobata musoro wakadai, toda kucheka sembudzi,” akadaro
Mbonambona.
Mambo akabva akaviwa negumbo ndokudonha nedivi. Mumwe
wavarume akabva amutsika negumbo mumwe ndokubata musoro
sezvinoitwa mbudzi zviya kana yourawa. Mbonambona akabva azvomora
bakatwa raaiva naro ndokubva ambotsvaga dombo rekuti arodze. Ari
kudaro haana kuona kuti Varaidzo ainge azvomora maoko ake
muchishwe chaakanga akasungwa.
Chitsauko Chegumi Netanhatu
naTafadzwa Chaponda (+263774377654)
Shoko rakatekeshera nenyika yose yavaDuma kuti Mwanaweushe ndiye
akanga ava mambo. VaChesango nemhuri yavo vakazvinzwawo
vakanetseka zvikuru kuti chii change chaitika kuna Mambo Muturiki.
"ini manzwire andaita nemunhu anoti aona munhu aiva kumuzinda zuva
racho. Hanzi, nharirire dzemuzinda dzinenge dzagararira basa nekuti
mambo vakabatwa sehuku yanaiwa. Hanzi chero machinda haana
kumborwisa. Naivo vanhu vakatapa mambo Havana ropa ravakadeura,"
akadaro Tichafuma.
"Hazvina vamwe vanhu mukati here nhai mwanangu?"
"Muchiri kuzvitutu vavengi venyu vava kuzvide. Honzeri ndiye ava
gurukota guru munyika muno achiteverwa naDamba. Hanzi ndivo
vadzibata mumuzinda vachibatsira mambo kutonga. Pane guhwa rokuti,
Mambo akatapwa nevanhu vakabva kuuHera. Asi vamwe hanzi vari kuti
machinda iwayo akavimbiswa mombe naDamba naHonzeri,"
akatsanangura Tichafuma.
"Iwe nyaya dzose idzi wadziwa naani nhai muzukuru?" Ndisekuru.
"Navakomana kumakura kwataswera tichiridza mombe nhasi. Asi
zvandirwadza nekuti vakapamba naVaraidzo ndokuyenda naye nekudaro
hazvichazivikanwi kuti mambo mupenyu here kana kuti aurawa."
"Ah uchiti vangamusiya? Mambo wavaHera Mukanyairi haana tsitsi
kunyanya akatozvihwa kuti ndiye mambo, zvakaoma. Dai vatoronga havo
Mario aShe nekuti akatourawa. Mukanyairi akambouraya vakomana gumi
navaviri vangorashikirawo kumhiri kwaNyazvidzi ndokubatwa vachinzi
vauya kuzosora," vakatsanangura sekuru.
"Zvakaoma. Mambo vedu vanga vari munhu ane Moyo wakanaka. Asi
zvichavawanawo, chebamba hachina makumbo akasimba. Usher
ndehwaMuturiki. Sezvo anga asina mwanasikana vaifanirwa kumira kuti
age svikiro rozotaura kuti ndiani opuwa ushe. Ini baba vanhu
vakanditsanangurira kuti Mambo Muturiki vakaiswa pachigaro nesvikiro
kwete zvekupamba zvaita izvi," akadaro Tichafuma achitaurwa kunge
munhu mukuru.
Aitotaura seanechimuti mudama nekuti, music watorwa ushe mweya
waDuma wakabva wagara pasvikiro,Ndachinhonga.
"Ini ndini Duma wacho, muridzi wenyika ino namakomo awo zvose
nehova. Zvamaita izvi handizvo. Endayi munotora Muturiki kwamamuisa
nekuti ropa rake rikangodeuka, kuchaita kugeda-geda kwameno munyika
muno. Aya ndoanonzi manenji akaita..."
Mwanaweushe akacheuka ndokutarisa Honzeri uyo ainge akamira padivi
pale.
"Ari kuti chioko uyu? Ndini ndava mambo unondishevedza uchiti
Changamire," akadaro Mambo Mwanaweushe.
"Haasi aisvikirwa here?"
"Kusvikirwa naaniko? Inhema idzi Kuda kundivhundutsira. Dondipa primo
rangu kuno."
Manomano akabva amhanya ndokutora pfumo otambibza mambo.
"Wuraya zvako asi apa haupagari. Uchava sembwa ine gwembe,"
takadaro svikiro raVaDuma.
Mwanaweushe haana kumbozviteerera. Akabvuta pfumo rake
ndokufamba oswedera pakanga pakamira Ndachinhonga. Zvakabva
zvamira zvakatarisana samabhuru maviri. Mwanaweushe akabva
asimudza pfumo ndiye ndonye muchifuva chaNdachinhonga. Murume
mukuru akabva ati ngondongondo pasi ndiye pfau-pfau ndiye randakadya
ndirero. Haana kana kumbochema.
"Bvisai tsvina iyi pamberi pangu."
Vana Manomano vakabva vamhanyamhanya ndokusimudza mutumbi
wavaNdachinhonga ndokunousiya pachivazhe pavo. Kubva Makore
anonzi akatonga Duma akare-kare mbongoro dzichine nyanga,
zvakadaro hazvina kumbobvita zvaitika.
Vanhu vakashaya remuromo. Mwanaweushe akabva apa mutongo
wekuti hapana anochema kana kubata maoko aNdachinhonga nekudaro
akavigwa sembwa dzaTaiziveyi vana Sekuseka.
Kubva musi hapana anga achati bufu kana She vataura. Ndiwo mazuva
akatumwa vana Manomano kumusha kwamai Taiziveyi.
"Muri kudiwa pamberi paShe," akadaro Manomano. Mai Taiziveyi
vakabva varohwa nehama nekuti Manomano haaingoita mabasa ose ose
kubva panguva yaShe Muturiki.
"Kwakanaka here?" vakabvunza.
"Monohwa tasvika mhai. Rongedzai natundu kenyu tiende, kuno kure,"
akadaro Manomano.
Mai Taiziveyi vakaperekedzwa nemwana wavo Tichafuma. Vakasvika
kumuzinda zuva rakatevera sezvo paive nemufambo murefu.
"Nyaya yenyu iri pachena samabvi embudzi mhai. Imimi makatiza
murume wenyu," akadaro Mambo.
"Pamusoro Changamire nemakurukota ose ari pano. Ini ndiri shirikadzi
nekudaro handina murume."
"Aiwazve mhai regai ndikutondedzeyi kuti makagarwa nhaka naHonzeri
uyu."
"Neniwo regai ndikutondedzeyi Changamire, Honzeri haangagari ini
nhaka nekuti ndiri mukadzi wemunun'una wake. ChiKaranga chedu
hachidaro."
"Uri munhurume here iwe? Kana uri mukadzi, murume wako ndiye uyu.
Ndatotonga."
Ipapo Tichafuma akabva abatwa nehasha ndokusimuka ndokutanga
kutaura achizunza maoko.
"Apa matongera hutsinye. Hakuna matongero akadaro."
"Iwe ndiwe ani unozvidza dare rangu zvakadaro?"
"Mwana wacho," akazevezera muzheve dzamambo Honzeri.
"Mubateyi asapaparika uyo."
Machinda akaita chipitipiti achinobatirana Tichafuma uyo wavakapota
naye seri kwomusha ndokunomusunga mvura dzakondo. Mambo apedza
dare akabva auya nepfumo rake vakadungamidzana naHonzeri
naDamba.
"Ndiye mukomana wekuzvidza dare ravakuru uyu? Zvino chitauraka tione
akadaro Mambo akabata pfumo rake.
"Matongero akaita handiwo," akadaro Tichafuma achifema ivhu nekuti
ainge akavatiswa nedivi nekudaro ainge aneta kusimudza mutsipa
ndokungozosiya dama riri muvhu.
"Aizve ane nharo haikona. Manomano, hamuna zvamaitaka apa
vakomana. Ha-a? Mungarega munhu achiita zvaanoda pamberi pangu
kudai? Ha-a! Ndozvandisingadi izvi, aiwa bodo," akadaro Mambo
akatutuma nehasha. Akabva avhomora bakatwa rake iro akaita kutema
Tichafuma naro nechekuseri kwehuro musoro ichibva wadambuka ropa
ndiye dzatu tichiridza vanhu vainge vakakomba Tichafuma. Mambo
akatambidza Manomano bakatwa riya akabva aziva kuti zvaireva kuti
arigeze uye kuti alone kuti aita sei nemutumbi waTichafuma.
"Chembere yasara kudare uko haifanirwi kuzviziva izvi. Atiza," akadaro
Mambo otendeuka.
Mai Taiziveyi vakanyumwa ndokubva vananga pana Honzeri.
"Mwana wangu aripi?"
"Apukunyuka akatiza."
"Kana ura hwangu hwarira, pane zvamaita mwana wangu imi marume
ane Moyo yakashata nekusviba sapasi pehari."
"Iwe mukadzi iwe, hanzi apukunyuka akatiza. Chibva pamberi peuso
hwangu. Honzeri Tora mukadzi wako ayende kumusha uyu."
"Handiyendiko ini," vakapikisa Mai Taiziveyi. Vaizivey kuti vana Honzeri
vainge vakaronga zvinhu zvavo. Vakabva vamhidzurwa machinda
emumuzinda ndokuzvuzvurudzwa voyendwa navo kumusha kwaHonzeri
uyo aitevera kumashure. Vachisvika mumusha, vakasairirwa mine imwe
yaive umo Honzeri akateverawo ndokuvabata achishandisa chisimba.
Music iwoyo ndipo pavakaziva kuti Honzeri yainge isiri mhondi chete asi
kuti raiva bhinya zvakare. Zvakavarwadza asi chinhu chavainyanyofunga
mwana wavo. Pane chakaramba chichivaudza kuti ainge aurawa chete.
Chitsauko Chegumi Nenomwe
naTafadzwa Chaponda (+263774377654)
Makare-kare Nyika isati yarohwa nenyundo, vanhu vasati vava nehusvinu
hwavako Makore ano, majaya aigona kutotuhwina mudziva nemhandara
dzabumba mazamu. Ndizvo zvaiitwa nana Taiziveyi navamwe vasikana
kusanganisira Munaku. Vasikana vainge vari kune rimwe divi redziva,
vakomanawo kune rimwe divi redziva. Vakomana ndivo vaiti, "Hero sadza
mutuche!"
Vasikana vobva vapindura vachiti, "Swedera."
"Hero sadza mutuche."
"Swedera!"
Vakomana vaibva vatevera vasikana. Vamwe vasikana vaigona
kushambira vaibva vamboita sekuti vanosara kumashure. Vakomana
pavanoswedera vasikana vaya vaibva vaita chanyurududu vonobuda
vava mhiri kwedziva. Uyuwo Munaku akazorashikaw ari pasi pemvura
ndokuita chamunyurududu achifunga kuti aiyenda kune vamwe vasikana
izvo aiyenda kuvakomana. Pakadhumira pamakumbo emunhu akabva
anyumbwira obudisa musoro ndokudzokera zvakare pasi pemvura.
Akabitirirwa ndokubuda zvakare ndiye dhuma dhuma naTaiziveyi. Hana
yake yakati bha-a kurova. Akada kuti atize achibva abatwa ruoko
ndokupuwa chitsvambe.
"Hoyo ndamubata. Tsvambe."
Vanhu vakatanga kuridza miridzo nekupururudza mumwe mukomana
ndokuti, "ndowako iyeye. Ndiye mukadzi wako."
"Mukadzi wake kupi?" Akadaro mumwe murume achibuda
nemumakwenzi. Vakomana navasikana vakaramba vari mumvura.
Haurungwi ndiye akatanga kubuda ndokunanga kumurume uya.
"Changamire wangu uyu mutambo unongoitwa navakomana nevasikana
hauna kana chirevo."
Haurungwi aidaro nekuti aiziva kuti murume uyu akanosvitsa nyaya iyo
kwamambo ndipaipererawo sarungano yaTaiziveyi.
"Hakuna zvakadaro, matova majaya echuruka imi. Ngaauye pano
mukomana uyo. Ngaabude mumvura imomo.
"Vakuru vangu dzorai Moyo wenyu. Tichiri kubuda mukaka pamhino."
"Ndati ngaauye pano."
Haurungwi akacheuka ndokudaidza Taiziveyi neruoko. Mukomana
akabuda mumvura hana yakapora hayo. Ko aiziveyi kuti mhosva yainge
ari kupomerwa ndiyo yakaurayisa mumwe mukomana ainzi Matirasha uyo
akanga awanikwa akamira nemusikana uyo akazova mukadzi wamambo
wechina?
"Unonzani uye uri mwana waani?"
"Ndini Taiziveyi mwana waHumadzavarombo."
"Humadzavarombo?"
"Hongu wekuNjanja, ndiri mwana wehanzvadzi yaBaba vaHaurungwi
amore apa uyu," akakasira kugadzirira murimo wake uyo waigona
kugokera baba vaHaurungwi mwoto muziso.
"Wanga uchizviziva here iwe kuti wagumha ruva ravaShe?"
"Wanga uri mutambo Changamire, uyezve ihama yangu handiti ndiri
mwana wava tete vake here?"
"Ummm ichokwadi ichocho? Aiwa handeyi kwaShe monotaura zvakanaka
mavako."
"A ah mukuru wangu ko madireyi kuomesa moyo zvakadaro."
"Aiwa kana uchiti ndi mainini vake, nemhaka yei manga muchiri ndewake.
Ko ndakunzwayika?"
"Paposheka vakuru. Hatichatambi zvakadaro zvakare," ndiHaurungwi.
"Aiwa, hendeyi. Tungamira chikomana."
Taiziveyi akatungamidzwa mberi vonanga kumuzinda kwamambo.
Vakasvika mumuzinda muzere vanhu nekuti musi uyu vanhu vaitongwa
vakanga vakawanda. Muchinda uya akasvikoturira nyaya yaTaiziveyi
kuna Mbonambona uyo akanosvitsa kumakurukota.
"Uyo chimbomuchengetayi, tozomuona mangwana yake iyi ihombe
nekudaro garai marodza minondo namapfumo kuti musazonetseka
mangwana."
Izvi zvakataurwa Taiziveyi achinzwa. Ipapo ndipo pavakaziva kuti akanga
apinda muna Taisireva. Zvakamunetsa kuti nemhaka yei zvaidaro nekuti
ivo vainge vachongozvitambira havo. Taiziveyi akatorwa ndokuyenda
naye kwaichengeterwa nhapwa navamwe vanenge vapomerwa mhosva
huru dzinomutongo werufu. Asvikako akashamisika kuona munhu waiziva
akagara pasi muimba yainge yakarindwa navarindi. Munhu uyu aiva
mambo wake, Mambo Muturiki. Akambofunga kuti pamwe handivo asi
akazongokaruka ati, "Changamire!" achichonjomara pamberi pavo.
Murindi aiva pamusiwo akabva azviona achibva aswedera pastor ndokuti,
"ko wauri kuti Changamire ndiani? Inhapwa iyi."
"Aiwa, haisi nhapwa iyi. Ndiye mambo wavaDuma uyu. Handiwo
mabatirwo anoitwa mambo aya,"akadaro Taiziveyi.
"Unoreva chokwadi here nhai mukomana?"
"Ko ndingarevereyi nhema?"
"Zvakanaka. Mashanga huya pano. Ndoda kuti usare wakarinda mukova
pano pasawana anobuda ndiri kudzoka."
Murindi uya akabva asimuka ndokunanga kuna Mbonambona kunopira
nyaya iya. Mbonambona akavhunduka zvikuru ndokuti, "wazvinzwa
naani?"
"Nemukomana abatwa kurwizi."
"Ah heya. Handina kunge ndazviziva," akadaro Mbonambona achida kuti
nyaya ipererere pavari. Haana kusiya kuti kune rimwewo gurukota
raitobvawo zvaro kunozvibetsera musango rakavanzwa roda kuti rinotora
chigaro charo. Rakabva raigamha nyaya iya.
"Taura zvakanaka. Wati pakati penhapwa panashe?"
"Hongu."
"Hande neni tinomuona."
Vakabva vayenda kuya gurukota riya ndokubatwa kunan'anidza chiso
chaMambo Muturiki.
"Uyu ndiye mambo wavaDumaka. Ndakambomuona asi achiri muduku
chaizvo."
Gurukota riya harina Kuda kuramba raitaura zvizhinji. Rakabva rananga
kuna mambo ndokuzevezera muzheve. Apa zuva tanga rotopinda muna
mai varo. Mambo akavhunduka zvakaobekwa nemunhu wose.
"Akauya nani pano?"
"Ndovokuuya naMbonambona mazuva apfuura."
"Ndokukona kureva kuti panaShe? Haazvizivi here kuti majongwe maviri
haagari pamutanda imwe? Ngaauye pano."
Mbonambona akadeedzwa ndokuuya pamberi paShe achibvunda.
"Saka matapa She ndokurega kureva? Moda kuti Hondo yavaDuma
ingouya ndakarivara haikona?" akadaro mambo.
"Kwete Changamire. Handina kuziva kuti ndiShe."
"Ummm iwe Mbonambona taura chokwadi. Aa-a-ah, ndakanzwa kuti
kumusha kwako kwakauya mombe dzakawanda, dzakabvepi?"
Ipapo Mbonambona akatanga kukakama. Mumwe muchinda akanga
akevengana naMbonambona akabva ati hewo mukana. Akabva ati,
"Changamire ini ndine chokwadi chizere."
"Huya pedo utaure tinzwe."
"Maita zvenyu Changamire. Chokwadi ndechekuti vana Mbonambona
vakainda kuhondo yeushe kunyika yavaDuma ndokunotapa mambo
ndokusiya vaisa wavo."
"Handichokwadi Changamire," akadaro Mbonambona achipata zvino.
"Hooo ndokwakabva mombe? Aiwa wapedza nyaya chigara pasi. Kana
muswe ukarebesa tinogura. Mutoreyi kuyenda naye," akadaro mambo.
"Mangwana anoita hondo yeushe votora hwangu. Mubve mapedzerana
naye ndinoda kuuya kuzongoona mutumbi chete."
"Changamire wangu ndine urombo. Aingova makaro," akadaro
Mbonambona oda kuchema.
Mambo haana kuda kuzombozviteerera ndokutanga kutoyenderera mberi
nenyaya dzaaitonga. Akazopedza kwato zvarara ndokutora a
namakurukota ake oyenda kunoona mambo Muturiki pamwe chete
naTaiziveyi uyo waaida kuzotonga zuva raitevera. Akambomira
pamusiwo achitsanangurirwa nyaya yacho.
"Asi uyu mukomana haasiye wekunzi ndoweNjanja here?"
"Vakareva nhema, anobva Duma uyu."
"Heya nhai saka Hamunengoni (baba vaHaurungwi) aitamba nefungwa
dzangu nhai? Ha-a izvozvo ndozvandaramba kare kare. Mangwana
munomutora auye pano. Uyu wamunoti Mambo uyu haagari muno.
Izvozvo hazviiti. Saka iye naHamunengoni nechikomana ichi ndovaona
mangwana."
Mambo Mukanyairi vakabva vapinda maiva naMambo Muturiki
naTaiziveyi umo manga matova nerima. Vakazvenekerwa nechitsiga
chomoto ndokuti, "waiti wakangwaraka gore riya rawakadzongirira
machinda angu ehondo. Nhasi uri pano," akabva anyemwerera zvesvoto.
Mambo Muturiki java kudavira. Akabva avheneka kwaiva naTaiziveyo
ndokuti, "Haungadyi panodya mambo. Izvozvo hazviiti."
Taiziveyi haanawo kudavira. Mambo Mukanyairi vakabuda voyenda
kudare kwavo kunodya charairo icho raive sadza romupunga nenyaya
yehuku. Vana Taiziveyi vakapuwa ravowo nemufushwa. Vachipedza
kudya vakabva vasungwa mvura dzakondo.
"Munotizwa mabiwa nehope," akadaro mumwe murindi.
"Chokwadi. Vanotovata vakasungwa."
Vasungwa kudaro vakabva vazendamiswa namadziro ndokusiiwa
vakadaro. Hapana aitaura nemumwe nekuti vaitya kunzwika nemurindi.
Taiziveyi akazvisvora nekuti akanga akuurayisa mambo wake uyo akanga
apona nguva yose nekusazivikanwa. Ipapo ainge asingazivi kuti
atourayisa Mbonambona uyo akanga avachando mushure mekubaiwa
nepfumo napadumbu zvichitevera mutongo wamambo.
Nekuda kwekuti vainge vakagonya mukusungwa mbiradzakondo, havana
kumbowana hope. Jongwe rekutanga rakarira Taiziveyi akasvinura
achingobwaira-bwaira murima. Ipapo ndipo pakabatwawo Mambo
Muturiki nehope ndobva vazendama ndokunowira pana Taiziveyi.
Taiziveyi paakasuduruka akabva asiya mambo vachiwira zvavo pasi
nedivi. Akavaguma nehuma ndokubva aona kuti kana aiona pane chishwe
kumashure kwavo, aigona kuvasunungura. Naizvozvo akatanga kutsvaga
chishwe nemuromo ndokuchiwana. Akaruma-ruma ndokunzwa ndokuona
ah, chatobva. Mambo vakanga vapepuka asi Havana kana kuti bufu
nekutya kunzwika. Vakabva vazevezera ndokuti,"ndasununguka. Rega
ndikusunungurevo."
Vachipedza kusunungura Taiziveyi, Taiziveyi akabva asimuka
ndokunyahwaira akananga kumusiwo. Akasvika waneyi murindi
arikuridza ngonono. Zvinyoro-nyoro akatora pfumo raakanga akabata
ndokubva ati, "akabata handeyi."
Mambo vakasimuka ndokunyahwaira achitevera. Muchinda uya akabva
apepuka ndokunzvanzvadzira kutsvaga pfumo waneyi rayenda. Taiziveyi
akabva apinda Mumba ndokuzvuva mambo. Muchinda uya akabva
avagarira pamusiwo. Taiziveyi akati unoreva nhema. Akabva amujunga
nemushure kwepfumo mudumbu muchinda uya achibva agara pasi.
Angokwanisa kuti, "Maiwe-e."
Taiziveyi haana kuda kumuuraya nekudaro akamusiya achifemera
akabata mudumbu ndokuzvuzvurudzwa naMambo ananga murima raiva
pazhe. Urongwa hwake hwaiva hwekunanga kumba kwana Haurungwi
kuti anovatora vasabatwa mangwanani iwayo namachinda amambo.
Aitya kuti vaigona kuurawa. Akasvikapo utonga hwatsvuka.
"Budai handeyi, mambo anoda kukuurayayi nhasi hanzi makachengeta
musoro mukareva nhema kuti ndobva Njanja,"akadaro Taiziveyi mudama
wapera nechando.
"Ko uyo ndiani?" Akabvunza Haurungwi achitozamura zvake.
"Ndokuudzai tava kuyenda."
Munaku akavanzwa ari kuhope asi akabva apepuka. Zuva iroro haana
kunge akasira kurara achinetseka kuti chii chakanga chaitika kuna
Taiziveyi. Paakangonzwa izwi akabva atomuka.
"Neniwo handisati," akadaro amirawo pachivanze.
" Vanhu ivavo vanogona kunge vachitevera, zvamuri kutora nguva henyu
kudai," akadaro Taiziveyi abatira ura mumaoko.
Achipedza murimo iwowo vakanzwa munhu kukosora nechekusango
raive rakapoteredza musha. "Ndivo. Handeyi, tinowanikidzwa pano."
Hapana akazomborongedza. Mai vakamutsa vana, zvose nemudzimai
mudiki wemurume wavo. Varume vakangokwanisa kutora mapfumo
namakano ndokubva vatungamidza vana vomhanya vachiyenda nerimwe
divi. Hapana akatakura chokudya. Varume vaitevera vakasvika pamusha
dzimba dzisina vanhu ndokuziva kuti vainge vatizwa. Sezvo kwaakanga
kwachena vakakwanisa kuronda shoka ndokumhanya vachitevera. Vana
Taiziveyi vakanga vatoita mugwagwa wainanga kuNjanja ndiko kwavaida
kunopotera kuhanzvadzi yaBaba vaHaurungwi. Varume vaitevera
neshungu nekuti kushaikwa kwavanhu ava zvairevawo rufu rwavo.
Vaitsanangurira mambo vachiti chii?
Zuva ronobuda vakabva vaona vana Taiziveyi vakaita dungwe vava mune
rimwe bani. Vakatanga kunyanya kuti vava bate. Haurungwi ndiye
akatanga kucheuka ndokubva ati, "Ah, hondo iya yatevera."
"Mhanyai makanga mugomo umo," akadaro Taiziveyi. Vanhu
vakangotevedzera izvozvo. Zviya zvekuti ndachembera zvakanga
zvisingashandi. Vana mai vakaita rimwe simba rakashamisa vanhu
ndokumhanya vokwira homo. Taiziveyi naHaurungwi ndovainge vari
kumashure kwavose. Vava pamusoro pegomo, machinda aMambo
Mukanyairi ainge achisvikawo mujinga maro. Taiziveyi akabva ati kuna
Haurungwi, "ngatimboisayi mapfumo pasi."
"Tinourawa. Apa tichatiza tichiindepi?"
"Isa mapfumo pasi mhani. Uuye pamatombo awa."
Vakomana vaviri vakatanga kutsidura matombo voita hurumatandare.
Matombo akatanga kudzika negomo achiwisa muti. Machinda aya aiva
nechemuzasi vakatanga kushaya kwekutizira zvekuti vari gumi, vanomwe
vakatswanywa namatombo ndokufa. Vatatu vakasara vakabva vatanga
kutiza. Taiziveyi naHaurungwi vakabva vadzoka como ndokutanga
kusomana nemachinda aya mubani raiva muzasi. Varume ivavo
vakamhanya kusvika zvifuva zvopiswa vachibva vabatwa navakomana
ndokuita kanyama-kanyama kusiya kwemumwe chete akapukunyuka, ha-
a vakamushaiwa. Yaive mhembwe pakumhanya, pakunzvenga riri
ruvhunambwa chairwo.
Chitsauko Chemagumi Maviri
naTafadzwa Chaponda
Varaidzo zvaakasara mumuzinda waMambo Mukanyairi, akanga
achichengetwa pamwe chete nedzimwe nhapwa dzechikadzi. Masikati
vaiswerawo vachiita Mabasa akasiyana-siyana akafanana neekutsvaga
huni, kuteka mvura nekubika. Mumwe musi akatombowana mukana
wekutiza asi akazofunga baba vake. Haana kunge aziva kuti vainge vatiza
kare. Zuva rezunde ramambo vakamutswa voyenda kunotimba kumunda
savamwe. Ikoko ndokwavaisangana navarume. Varaidzo akatarisa kuti
baba vake vaivepo here asi haana kuvaona. Akangofungira kuti zvimwe
semunhu mukuru vainge vasiiwa kuti vazorore. Chaizomunetsa
ndechekuti dzimwe harahwa dzainge dzatochembera kudarika baba vake
dzaivamo. Machinda aMambo ainge amire kumashure kwavanhu
achipopotera vainge vachinyozera.
“Eh, eh isai zheve kuno!” akashevedzera mumwe wamachinda.
“Mambo ari kuuya kuno nhasi kuzoona kushanda kwamuri kuita nekudaro
hatidi zvekunyadziswa. Wakangondisvodesa pamberi pamambo chete,
ndokubaya nepfumo iri. Ipapo handiseki,” rakadaro jinda riya.
Zvediwo nenguva isipi, Mambo vakasvika vachiperekedzwa
namakurukota nema machinda ake. Vaitaura nyaya dzavo pasi pasi
vachimema basa raainge richiitwa nenhapwa dzavo.
“Ndoda kuti muiswe zviyo mose muno umu,” akadaro Mambo achitendeka
ndima yaaitaura. Ipapo akabva akanda meso kuvakadzi uko
akasanganisana meso naVaraidzo uyo ainge akayeva mambo
achimutuka nechemumoyo. Hana yamambo yakarova kunge munhu
akasangana neshumba. Ainge asati amboona runako rwakadaro
muupenyu hwake.
“Ko hamuna kundiudza kuti mumuzinda mune nyaradzi yakadai wani?”
akadaro Mambo achizevezera rimwe ramakurukota ake.
“Muchireveyi nhai changamire?”
“Hausi kuona zvandiri kuona here nhai Makanyadza?”
Makanyadza akatarisa mberi ndokuona vakadzi vaishanda basa ravo.
Mambo akatanga kufamba akananga paive naVaraidzo. Varaidzo ainge
akatsikitsira uku hana yorova nekuti akafunga kuti zvimwe ainge aonekwa
kuti akanga akadzvokora mambo nekudaro zvimwe akanga apara mhaka.
Akaramba akatsikitsira achishanda ndokuona mimvuri yavarume vaye
yava padivi pake.
“Mwanasikana,” ndiMambo pauzima. “Ndiwe ani iwe?”
“Munoreva ini?” akadaro Varaidzo achiita kakuvhundukira.
“Hongu ndorevewe. Ndati unonzi ani?”
“Ndinonzi Varaidzo.”
“Heya, pane vanhu vachakutsvaga.”
“Ndinokumbira ruregerero changamire kana chandaposha,” akadaro
Varaidzo achigwadama pasi. Vanhu vaimutsvaga aifungira kuti machinda
aShe.
“Simuka hako zimhandara. Hapana chekutya,” akadaro Mambo
achinyemwerera.
Akabva atendeuka ndokutanga kuyenderera mberi nekumema munda
uya. Varaidzo akasara akasuruwara zvikuru. “Kuti ndingava ndaresveyi?”
akazvivhunza nechemumoyo. Akazongoshanda hake asi fungwa dzake
dzainge dzava kure zvikuru.
Vapedza kushanda, vakadzokera kumusha ndokunopuwa chikafu.
Vachidya vagere pasi pemutondo waive paruvazhe kwakasvika madzimai
maviri echikuru.
“Pane musikana anonzi Varaidzo here pano?” akavhunza mumwe wacho.
“Hongu ndini,” akadaro Varaidzo atongozvimisira kuti chauya chaizoona
iye.
“Zvakanaka. Huya pano zimhandara timbokurukura.”
Varaidzo akatevera madzimai aye ndokunopinda mune imwe imba.
Vaingova vatatu chete muimba iyi.
“Zvawaona takudaidza kudai zvinoreva kuti yanaka kwako mwanangu.
Runako rwako rwunenge rwaite kuti Changamire vamedzerere mate,”
vakabva vambonyarara vakaringa chiso chaVaraidzo uyo ainge akatarisa
pasi.
“Unohwa here nyaya yakanaka iri mudariro iyi zimhandara. Hunhapwa
haunakidzi nekudaro uyu ndomukana wako wekubvisa panyanga
dzaMushore dzauri idzi,” vakayenderera mberi mai vaya.
“Muchireveyi?” akabvunza Varaidzo.
“Tichireva kuti mambo zvavakufarira kudai, nhasi chaiye unofanirwa
kudziisa magudza avo.”
Varaidzo akabva aita kuvhunduka ndokuti, “Ah muchiti izvozvo zvinoita
here? Ini ndichiri mhandara yakazara huye ndinoda kutozowanikwawo
ndiri mhandara yakakwana.”
Madzimai aya akabva apwatika zvayo nekuseka mumwe wacho achibva
azoti, “Unoroorwa naani zvauri nhapwa zvayo mwanangu? Uyu
ndomukana wako. Unenge uchingotiwo kana Mambo vatonhorwa
womhanya wonovadziisa, ukuwo unenge usingachashandi savamwe.
Unoona vakadzi vose vanoswera vagere mumuzinda muno vasiri
madzimai amambo vaya? Ndizvo zvavanotoitawo ufunge. Handioni
chakashata pazviri ini.”
“Ndine urombo, inini hangu handikwanisi,” akadaro Varaidzo
zvakavhundutsa madzimai aya maviri. Vainge vasati vamboona mutapwa
akashinga zvakadaro.
“Mwanangu, Mambo Mukanyairi unonatsa kuvaziva here? Uchiri
mucheche zvikuru nekudaro wadii kungoita kuti zvikubve pane kuti ufe.”
“Ndakafa kare mhai, vanenge vatononoka,” akadaro Varaidzo.
Madzimai aya akabva ati kwaka-a kunyarara vachikwenya mipapmbare
nenyadzi. Ndiko kaive kekutanga kurambirwa muupenyu hwavo hwose
hwekuita basa iri.
“Saka waramba?”
“Hongu. Handidi,” akadaro Varaidzo nezwi riri pamusoro.
“Kubva zvakanaka. Isu tava kuyenda isu,” vakasimuka ndokunanga
kumusiwo. Vava pamusiwo mumwe wacho akacheuka ndokuti, “Saka
watoshinga kuramba?”
“Hongu, handidi.”
“Ah heya.”
Chembere dziya dzakabuda ndokunanga kudare kwaMambo.
Vakasvikogwadama nechekure ndokumbotanga vapa ruremekedzo
rwedare kwachizogara vakapeta makumbo.
“Pamusoroyi Changamire.”
“Eh bwereketa zvako. Titurire tihwe mafamba zvakanaka here?”
“Ah, masango matema Changamire.”
Mambo akamboita kunge munhu oseka ndokugumira pazhira kwachizoti,
“Muchireva kuti aramba?”
“Ndizvozvo chaizve VaShe.”
Mambo akamboti zii ndokucheuka-cheuka achitarisa makurukota ake.
“Hakuna zvakadaro. Mataura naye here kuti ndiShe vanomuda?”
“Hongu, ndizvozvo chaizvo.”
“A-a-ah, hakusi kutambawo nemuswe wembada here uku? Nhai
Makanyadza?”
“Ndizvozvo chaizvo Changamire. Ngaashevedzwe auye pano.”
Nekudaro Varaidzo adeedzwa ndokuuya pamberi pedare ramambo.
Mambo ndivo vaitaura vachimutendeka-tendeka netsvimbo yavo.
“Madzimai maviri ayo wamboavona?”
“Hongu.”
“Unoti hongu CHANGAMIRE,” akatsiura Varaidzo, Makanyadza, gurukota
guru raMambo Mukanyairi.
“Zvandareva wazvihwa here?”
“Hongu.”
“Ndati unoti hongu CHANGAMIRE, usazvidza She iwe,” akatsiurazve
Makanyadza.
“Hongu Changamire,” akangoita kuti zvimubve.
“Shoko ravakupakurira wati kudii naro?”
“Ndinopokana naro.”
Mambo akahadzika ndokucheukazve otarisa makurukota ake.
“E-eh, iwe Makanyadza, taurai nemwana uyo mumuudze kuti achiri
kubuda mukaka pamhuno. Ndinomupa mazuva mashanu ekufunga.
Ikezvino motarisisa kuti pose paari ane munhu akamurinda. Ini chose
chandatendeka kuti chava change chinenge chava change, handizvo
here? Ko ndinika ndinotonga.”
Makanyadza akatorana namadzimai aye pamwe chete naVaraidzo
ndokugara patombo aive nechekuseri kwemusha vachionesa Varaidzo
gwara.
“Unoona mwanangu kana zvadai zvinoreva kuti wava pamuchenure.
Saka kana uri munhu ane njere chingoita zvinodiwa namambo nekuti
kana ukarapa wakatin gotsi papata vanokuuraya. Unoda kufa uchiri
mucheche kudai here?”
“Hongu, kusiri kufa ndekupi?”
“Inga une nharo chaizvo. Kufa unokuziva iyewe? Ukafa haudzoki.”
“Hazvina basa,” akadaro Varaidzo.
Madzimai aya akangodzungudza misoro. Ainge aizvida zvakadai.
“Akuruma zheve ndewako nekudaro chati homu chareva. Zvava kwauri
kufuga kana kuwarira, ndayenda ini.”
Makanyadza akadzokera kudare ndokuturira mambo zvaakanga abva
nazvo.
“Ko munganetswa nemukadzi? Imi munongotuma machinda onomutora
usiku vouya naye,” akadaro Mambo.
Nekudaro kuchisviba kwakatsvagwa machinda akadya akaguta,
vanamutakura mombe mudzi ihata zvekuti ruoko rwacho waifunga kuti
ugumbo. Vakamuratidzwa achishinaira pamwoto ndokubva zvanzi, “iyeye
uyo, mumutore muuye naye kana vanhu vachinge vavata.”
Kunze kwanyarara kuti zii, kusiya kwamatahwa namakava aichema
munyasi megomo raive pedyo nemusha wamambo, machinda akabva
ananga kunhanga yairara veranda vechikadzi. Vainge vakabata zvimiti
zvemikonde izvo zvaipfuta mwoto wavaishandisa kuona. Vakangosvika
vachiita musiwo wekupwanya ndokutanga kutsvaga munhu wavo.
Vakamuwana akarara nechekumadziro ndokuti, “hausiwe Varaidzo? He-
e, Varaidzo!”
Varaidzo wacho semunhu aiva kuhope akabva avhiringidzika fungwa.
Vakamubata mumwe achibva amuvhara muromo ndokumuzvuva
vachibuda naye. Iye haana kana kukwanisa kuridza mhere. Vainge
vakamubatirana vachimhanya naye kuyenda kwairara mambo.
Vakasviko-gogodza mambo achibva ati, “Pindai.”
Vakavhura musiwo ndokupinda naye. Vakavheneka nemwenje yavo
yemikonde ndokuti, “Ndiye uyu tenzi, tauya naye.”
“Magona, chibudayi zvenyu ndivhare gonhi rangu ndiise chihuri.”
Vakomana vabuda Mambo akabva auya pana Varaidzo achinyemwerera
ndokuti, “Wanga uchifunga kuti wakangwaraka, zvino izvezvi uripi. Wauya
muno ndochiita zvandoda newe.”
Taiziveyi 21 -25
Chitsauko Chemakumi Maviri Nechimwe
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Machinda aMambo Muturiki akangonzwa yava bhidhiri bhidhiri mumba
maivata changamire. Changamire vainge vachirwisa kuti vabate Varaidzo
uyo ainge achitiza pamwe nekunzvenga namadziro. Aiti kayenda uku,
changamire vouya iye obva ati nzve-e. Vashe nekusimbisa vainge
vasingakwanisi kukasika sazvaiita nekudaro vainge vongofemereka.
Varaidzo akaiona kuti akadzima mwenje maibva maita murima nekudaro
akabva amhanya kunotora chitanda chemukonde chaipfuta somwenje
ndokutsutsutira pasi asi chakaramba kudzima. Akabva aona changamire
vouya ndokuchisiya achisvetukira kwakadaro uko. Mukuru akabva
anotiwo nyonde nemuromo pasi. Varaidzo akabva atoti heuno mukana.
Akabva ananga pamusiwo ndokutanga kunetsana nechihuri icho
chakabva charamba kubva. Akaramba achinetsana nacho asi
chakaramba kusvika changamire vamuka. Achiri kunetsana nechihuri
kudaro akabva anzwa ziruoko richimubata nechepandekete. Akaita
kuhwengurwa ndokukaruka abondera pazidumbu ramambo iro rainge
rakakura kunge remudzimai akurirwa. Vashe vakamupinga ndare, ndiye
gumi rakadya vaviri, changamire pamusoro Varaidzo pasi. Akanzwa
kunge akatsimbirirwa nezhou nekuti mambo vainge vari hofori yerume
uye mutsipa usingaonekwi nekuda kwekusimba. Akanzwa
vachimufemera mumhino chaimo vakamubata maoko ose zvekuti haana
mutsudunuriro waaimboita. Akada kuti adayi akanzwa azviiti, mambo
akamutsimbirira.
“Wanga uchiti wakangwaraka?” akadaro mambo achifemuruka apo
akatarisa Varaidzo mumaziso chaimo. Varaidzo akangosimudza musoro
zvishoma ndokukwanisa kuruma mhino yamambo. Akatanga kutsukutsira
akaruma chete, tenzi vakati vaibhongomora mhere.Vakada kubvisa
mhino zvenharo ndokuona kuti ingadambuka kwakutongotevera Varaidzo
kunge nzuma yakabatwa zheve. Machinga achinzwa mhere akabva auya
pamukova ndokuyedza kuvhura musiwo asi wakanga wakaiswa chihuri
nomukati. Varaidzo akabva atoiwo handiregedzi ndokuramba akaruma
uku onzwa ropa ramambo kuzara mumuromo. Haana kurimedza, akasiya
richiyerera namatama.
“Ndofawo-o!” akaridza mhere mambo. Machinda akabva atsika musiwo
uchibva wati rakata kwakadaro uko. Vakada kuti vabvise mambo
pamuromo waVaraidzo achibva awedzera kuridza mhere. “Eh eh,
inodambuka!”
Maumwe muchinda ndiye akazofunga kubata mhino yaVaraidzo uyo
akabva abitirirwa nekushaya mhepo ndokuregedza mambo kuti afeme
nomuromo. Mambo achibvisa mhino yake mumazino aVaraidzo yainge
yatsemuka kuita zvipenga zviviri paayakanga yakarumwa paye.
Machinda akamhanya-mhanya kuti ropa rimire kubuda.
“Mhanya unomutsa godobori,” akadaro mumwe wamachinda.
Varaidzo ainge achibatwa zvino. Vakamutsimbirira akavata nedumbu
vakamirira makashu kuti vamusunge maoko.
“Ingozi iyi. Ange ane chamugara,” akadaro Mambo Mukanyairi akabata
mhino yake. Diti rose rainge razara ropa rimwe richipinda nemumuromo.
Makashu auya Varaidzo akabva asungwa mbiradzakondo
ndokusaidzirwa kumadziro machinda akamirira kunzwa kuti mambo aizoti
kudii. Godobori akabva asvikawo ndokunama ronda ramambo
namashizha. Mvura yakauya mambo ndokugezwa ropa. Godobori
akozopedza basa makurukota ainge avata mumuzinda avapo.
Makanyadza ainge asipo nekuti ainge avata kumusha wake. Mwenje
yakawedzerwa mumba muchibva mati ngwe-e kuchena. Vaingova
varume voga, hapana kana munhukadzi aivapo kusiya kwaVaraidzo uyo
ainge akasungwa mbiradzakondo arikumadziro. Ainge akasungwa
zvekuti haaikwanisa kupfakanyika. Mambo akabva asimuka paakanga
agree uku akabata mhino yainge yavharwa namashizha.
Akatanga aridza tsamwa ndokuti, “Zvino ini ndinonzi Mukanyairi.
Ndakapuwa zita iri nekuzvida kwandiita pashure pokuparadza mhandu.
Handiro rekuberekwa iri. Izvi zvawaita hazvina kiumbobvira zvaitwa
nomunhu chibarirwe change. Waita rombo rakanaka kuti uri munhukadzi,
dai machinda angu akuuraya kare. Zvino zvawandiratidza kuti
wakashinga somunhurume ndoda kuti ndizvione kuti wakashinga kusvika
kupi. Iwe Chituku, tanha shamhu pazhe apo.”
Shamhu yakauya mambo ndokuti, “Muzvambaradze tione.
Kuzvambaradza chaiko sounopura zviyo. Uchadzidza kuti mambo
ndimambo. Aiwa chimbomira. Endayi munomutsa mhandara dzose dziri
kuvaranda uko ndinoda kuti dzione kuti dziwane chitsidzo.”
Vanhu vakamira Chituku akabata shamhu yake. Nenguva isipi mhandara
navakadzi vechiduku vaive kunhapwa vakauya ndokumiswa kune rimwe
divi remba. Vose vainge vakaundunda nechando vakagumbata maoko.
Chituku akabva atanga basa rake ndiye mhu-u shamu yokutanga.
Vasikana vakanzwa kunge nyama dzachekwa-chekwa nekuti shamu
yainanga munyama chaimo. Varaidzo haana kuchema. Chituku
akazvindikita Varaidzo kunge aipura zviyo asi mwanasikana akaramba
akashinga kusvika mambo vati, “chimbomira. Munhu here uyu?
Mupenyu?”
Mwenje wakatorwa ndokuvhenekwa kumeso kwaVaraidzo uyo
aingobwaira meso. Musana wake wainge wakujuja ropa.
“Aiwa imbomusiya. Tomuona mangwana. Imi muchavata muno
makamurinda. Chero akanzwa kuda kuzvibatsira musiyiyi akadaro.”
Ipapo jongwe rokutanga rakabva rarira. Vanhu vakayenda kunovata
uyuwo mambo achiyenda kwavahosi avo vakanoshamisika kuona
mambo vabvaruka mhino. Havana kuvhunza nekuti izvozvo zvaiyera.
Varaidzo akavata akasungwa mbiradzakondo zvakati shamhu nekugonya
kwaakanga akaita, akarwadziwa asi akaramba akashinga. Kwayedza
akabva ati, “ko madii kungondiuraya henyu mandiponesa kumarwadzo
aya,” akadaro misodzi yobuda zvino.
“Aizve ko unotochemawo? Ndafungaka kuti uri mharekadzi?” akadaro
murindi achiseka zvake. Mambo vakamukira kuzoona Varaidzo
ndokuwana achichema. Vakapwatika nokuseka ndokuti, “Heyasu, ko
unotochemawo. Usatamba naMukanyairi. Zvino ini handichakuda chero
ukachibvuma zvako, handichadi. Uchafa, uye uchafa uchitambura. Imi
vana Chituku, mutoreyi muyende naye kusango naChinoshura, mujinga
megomo muya munorura shumba. Masvikako, musungeyi
mbiradzakondo sezvizvi mochimusungirira pamuti momusiya akadaro.
Imi munobva makwira paruware paya muri nechekure zvenyu. Kana
shumba dzamudya modzoka. Musadzoka asina kudyiwa neshumba.
Muchayendako muri vashanu nanevanji,” mambo aireva dangwe rake iro
raizoita mambo kana aching afa.
Varaidzo akasunungurwa mbiradzakondo ndokusiiwa maoko chete.
Akatorwa ndokuyendwa naye kusango raChinoshura kwairura shumba
samare. Vasvika kuya vakabva vaita zvavakanga vatumwa nevanji
akatarisa. Vapedza vakasiya Varaidzo paye ndokukwira paruware rwaiva
chinhanho. Vakabva vaona shumba dzaiva mubani dzakazorora zvadzo
nekudaro vose vakwira muzimuti raivapo. Mukono wakanzwa ropa
remunhu ndokubva wasimuka ndokufamba wakanga paiva pasiiwa
Varaidzo. Varaidzo akanga akasungwa akazembera muti nekudaro
akatoona shumba dzichiiuya kwaari dzakatungamirwa nomukono. Haana
kana kupfakanyika. Akangotsunzunya meso omirira kudyiwa. Papera
chinguva shumba dzisati dzasvika akabva asvinura ndokubva aona
zimukono reshumba rava padyo padyo. Akatsunzunya zvakare
ndokunzwa chinhu chakarira kunge mheni. Akavhunduka ndokusvinura
achibva aona mukono weshumba wakadonhera padyo namakumbo ake
uchiratidza kuti wainge wotandadza. Vakomana vaiva mumutiwo
vakavhundutswa nekurira kwakaita chainge mheni vachibva vadonha
mumuti ndokutyoka maoko vose. Shumba dzakatidza kubva pana
Varaidzo dzakanomira pedyo nemuti uya waneyi nyama yakada.
Dzakabva dzatanga kuita mukarirano dzichibvambura vanhu vaye zvekuti
hapana akasara. Vaigotiza seyi ivo vainge vavhunika makumbo
pavakadonha mumuti. Varaidzo akanetseka kuti chii chakanga chaitika.
Akangofunga kuti zvimwe vadzimu vainge vamurangarira. Shumba
dzapedza kuuraya machinda aMambo Mukanyairi nedangwe ravo
dzakanzwazve chakarira kunge mheni ndokuvhundukazve dzichitiza.
Chinhu chiya chakarira zvakare dzichibva dzatanga kumhanya
dzichidzika nebani. Kwakaita nguva kwakati zii, Varaidzo angotsikitsira
akatarisana nezimukono reshumba rakafira mumakumbo ake. Akabva
azonzwa kuti kwatara nechekumashure hana ichibva yati bha-a kurova
ofunga kuti chaive chimwe chikara. Akazonzwa kuti waitova mutsindo.
Achiti cheu akabva aona akavharirwa nehunde yemuti. Akanzwa munhu
oti, “Ah mupenyu. Ndaona musoro wake kucheuka.” Rainge riri izwi
raiziva. Vanhu vaya vakabva vasvika ndokuona inga ndiTaiziveyi ainge
achifamba navakomana vana.
“Varaidzo! Ndine urombo, VaMoyo ko ndimi manga muchida kudyiswa
neshumba? Isu tanga tigere mugomo umo pataona makasungwa
muchifamba mubani umo. Tazoona zvino masungirirwa. Isu kuti tidzike
tanga tichiona kuti kune shumba pasi apo nechekuseri kwechuru.”
“Ko zviiko zvakabata izvi?” akavhunza Varaidzo aona vakabata zvitanda
zvakafanana zvainge zvine simbi kumberi.
Taiziveyi akabva anyemwerera ndokuti, “ichi chombo. Ndicho
chandaurayisa shumba iyi. Chinorutsa moto unouraya zviri kure. Isu
takachiti pfuti nekuti chinopfuta mwoto unouraya.
“Maita zvenyu. Ko uri mupenyu?”
“Hongu chero Mambo Muturiki vapenyu. Ah vakomana sunungurai
mhandara iyi. Ndiro dangwe raMambo Muturiki iri. Ndiye watavinga.”
“Inga zvabva zvaita zvakanaka. Tinenge tavakudzokera heduzve,”
akadaro Haurungwi.
AIZIVEYI
Chitsauko Chegumi Nepiri
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Kwakapera mazuva maviri machinda amambo pamwe chete
nemwanakomana wamambo vatumwa kunosungirira Varaidzo kuti
adyiwe neshumba, Mambo Mukanyairi vakashevedza makurukota avo
kumusangano.
“Nhai Makanyadza? Makambohwawo nezvavanhu vaya vakayenda
kunosiya musikana uya kusango? Havasati vadzoka nanhasi sei? Kureva
here kuti vachiri vakangorinda?”
“Ndozviri kutondinetsawo changamire. Munoti imi chero akasungirirwa
pamuti haasi akatofa zvake nezhara? Ko kana afa vanenge
vachakagarireyi?”
“Asi makahwawo zvandakahwa kuswerazuro? Kwakaita kunge kwakaita
mheni masikati machena iko kudondo uko. Ndakanzwawo kunge mheni
ini yakanatsorira katatu, kana kana po-o-o! Po-o-o! Po-o-o! Po-o-o!”
“Eh takazvihwa changamire,” vanhu vakawanda vakadavirira.
“Hameno kuti chii nokuti mheni yairovi kusina kana gore remvura,”
vakadaro mambo. “Zvakanaka, iwe Makanyadza chitsvaga mamwe
machinda atevere ikoko kunoona kuti vanhu vatakatuma vapenyu here.”
Kwakatsvagwa mamwe machinda mashanu ayo akapakata zvombo
zvavo ndokutevera kwainge kwayenda vana Varaidzo. Vozvika mujinga
megomo hapana chavakaona. Vakatanga kufarira negomo vachitsvaga
asi Havana chavakaona. Vatoneta nekutsvaga mumwe wavo ndipo
akasangana nemukono weshumba wakavata asi wakaunganirwa
nenhunzi. Akamboda kutiza asi akaona nhunzi ndokuziva kuti zvimwe
wainge wafa. Akasvika padyo nhudzi dzichibva dzatiwo dzvamu kubva
pachitunha cheshumba. Akayedza kuti aone kuti yainge yaurawa nei
haana kuona nekuti bara repfuti parinopinda napo rinosiya kaburi kadiki-
diki, kwozoita buri hombe kwarinobuda nako. Zvino bara rakauraya
shumba iyi rakafira mukati nekudaro harina kubuda neseri. Akazotarisa
pamuti waivepo ndokuona wakanamira ropa uye pane makashu akanga
asiiwapo. Akabva adevedza vamwe vake.
“Huyai muone zviri pano.”
Vakauya vachimanya ndokuonawo.
“Ah hapasipo here paakadyirwa neshumba? Hamuoni ropa iri namakashu
awa?”
“Asi shumba yakazofa neyi? Uyezve kana akadyiwa neshumba ko vanhu
vakauya naye varipi?”
Vose vakabata muchiuno vachinetseka nazvo. Vakabva vaona kainge
kamwezva kaibva paya ndokukatevedza. Vakafamba voita kunge
vaiyenda kumabvazuva ndipo pavakanzwa sekunge kwaive nenhunzi
dzakawanda kwazvo. Vakafamba vopinda mumauswa ainge akareba
aivepo mumwe wamachinda achibva agumburwa zvekuti akadonha
ndokutozoponda nekudzambira pasi. Akacheuka kuti aone
chakamupinda waneyi haano mashura, waiva musoro wemunhu.
Paakaswedera kuti anan’anidze kudai waneyi mwana wamambo.
Akavhunduka zvikuru ndokubva aridza mhere.
“Mhaiwe-e! Huyai muone mashura murenje. Aya ndiwo anonzi manenji,”
akanga asisina kudzikama pahana. Vakauya vachimhanya waneyi haano
manenji zvedi. Vakabata muchiuno vakati zii. Papera nguva mumwe
wacho akadzungudza musoro ndokuti, “Chii chingava chakaitika?”
“Hamuoni sekuti vanhu ava vakadyiwa neshumba. Ah, tarisa apo hachisi
chiuno chemunhu here icho? Paseri pebwe apo,” akadaro mumwe
wamachinda achitendeka. Hana dzavo dzakanga dzobika manha kuri
kurova. Vakayenda pabwe riya wanike haano mamwe mashura. Misoro
yavamwe ndopaakanga yaunganidzwa namapere ainge adya
masariridzwa akasiiwa neshumba dzaguta zvadzo.
“Varume nzvimbo ino yashata. Togona kudyiwawo zvakaitwa vanhu ava.
Tadii tadzokera kumusha tanoudza mambo zvakaitika.”
Marume akabva atanga kufamba oyenda kumusha achicheuka-cheuka
kuri kutya. Vakasvika mumuzinda mambo ari padare rake achitonga
nyaya. Vakabva vanozevezera muzheve dzaMakanyadza uyo akaturikira
shoko kuna Mambo uyo akazvishingisa somunhu mukuru pakutanga asi
zvikazodzimba.
"Vaoneyi chaita kuti vati vanhu vakafa?"
"Taona musoro yavo changamire nedzimwe nhengo dzomuviri
dzakapararira nesango."
"Noomwanakomana the wangu?"
"Hongu tenzi, ndiwo watotanga kuona."
"Ko wemusikana?"
"Uyo bodo, hatina."
"Munorevesa here imi?"
"Hongu musoro yavo iriko," takadaro jinda rakazara kutya kukuru.
Mambo akambonyarara kwechinguvana achiita kunge munhu adzamirwa.
Akatarisa pasi ndokutarisa mudenga. Akazunza musoro ndokuzunzazve.
Akabva akwidza madzibwa ndokuchiti.
"Ndambozvireva paya kuti anenge mashura, mheni kurova masikati
kuziva kana kakore katiki-tiki kemvura? Ndiwo mashura acho iwaya.
Hamuoni sekuti vanhu vakaurawa ava. Mikono yose iya kudyiwa
neshumba poshaya kana umwe akatiza?"
Makurukota haana kudavira. Vaingozunzawo misoro uku vagumbata
maoko kuri kupererwa.
"Sezvo mavasiya ikweyo kuti vapedziswe nezvikara zviri mutore mamwe
machinda tiyendeyo," akadaro mambo akusimuka. Akanga abaiwa
panyama nhete. Mumoyo akanga ozvidemba kuti akaregereyi mwana
wake achiyenda ikoko. Misodzi kusabuda kwaingova kushinga
kwomunhu mukuru. Machinda angadarika makumbo maviri
akaungamidzwa nezvombo zvavo ndokuita dungwe rongondo vonanga
kwainge kwawanikwa misoro. Mambo aifamba akamisa maoko
kumashure uku achifemera neshungu. Machinda akatungamira
ndokunanga paiva nemusoro wanevanji washe. Mukuru akafamba oita
kunyahwaira akabereka maoko uku achidongorera kuona kuti zvedi
mwana wake here. Pakati ba-a waneyi zvokwadi ndiye namapfeka ake.
Ainge otosviba semunhu akanga ava mazuva matatu afa. Rurimi
raakanga rwakarembera panze uye maziso akabuda kunge munhu akafa
nekudzvinywa kana kuzvisungirira. Mambo akadzungudza musoro
ndokugwadama pasi kwakubata musoro womwana.
"Zvaita sei? Handiwo mafiro amunhu ane ropa roushe aya. Kudyiwa
nezvikara iwe uri shumba yacho?" akadaro mukuru sekuti aitaura
nemunhu mupenyu. Akaramba akadaro achidetemba-detemba. Pashure
penguva vanhu vakazounganidza misoro nedzimwe nhengo dzomuviri
dzavaiona.
Vana Taiziveyi zvavakawana Varaidzo vakarwadziwa zvikuru vawana kuti
ainge azere mavanga kumusana ayo ainge akanamira pamakwande ekuti
waakanga akasungirirwa. Vakamutora ndokuyenda naye kurwizi
kunomugezesa maronda ndokutsvaga mishonga yokuzora kuti akasire
kuoma.
"Kuti tifambe naye akadai hazviiti, nekudaro tava kumbomuchengeta
mubako ratakavata pamusoro pegomo apo kusvika apora," akadaro
Taiziveyi.
"Ko hatizoonekwi navanhu here takaurawa?"
"Ungatya pfumo iwe une chitanda chinorutsa mwoto ichi? Asi tichaswera
mugomo Godzilla mausiku."
Pazuva rechitatu ndipo pavakaona machinda aMambo Mukanyairi
achitsvaga vanhu muzasi megomo. Ivo vakanga vari pakavanda pekuti
havaionekwa. Musi iwoyo Varaidzo akanga amuka achinzwa kusimba
zvekuti akanga atokumbira kudzidziswa kuridza pfuti. Vaitya kunzwikwa
ndosaka asina kutozoiridza. Pavakaona machinda odzokera kumusha
vakafunga kuti zvimwe hapana chakawana. Papera nguva ndipo
pavakaona gurumwandira ravanhu. Taiziveyi akabva adzika
nechemuzasi kuti aone kuti paiva naanani. Akabva avanda paseri
pedombo ndokuona mambo akagwadama achichema mwana wake.
Akadzokera kwaiva navamwe ndokuvaudza zvakanga aona.
"Ane utsinye munhu iyeyu. Dai ndaigona kuridza pfuti iyi, ndamupfura
afe," akadaro Varaidzo.
"Vanhu vakawanda avo," akadaro Haurungwi.
"Chokwadi vakawanda vanhu avo."
"Asi tikanatsa kutonga togona kuvakurira vanhu avo," akadaro
Haurungwi.
Vachironga kudaro mamwe machinda aitsvaga dzimwe nhengo dzavanhu
vakanga vadyiwa neshumba akabva arashikira padyo navo. Varaidzo
akabva abatwa nechikosoro. Machinda aya akabva azvinzwa ndokutanga
kunyahwaira vachitsvaga kuti munhu akasira aivepi. Raiva izwi rechikadzi
nekudaro vakaziva kuti ndiVaraidzo. Vana Taiziveyi vakabva vatoita kuti
vanhu ava vaigona kuvauraya nekudaro vakabva vazvuva pfuti dzavo.
Machinda aya akaramba okwira matombo oswedera. Haurungwi akabva
aikoka ndokuregedzera pane mumwe muchinda uyo akabva adonha pasi.
Mumwe wake akaita kunge achafawo nekuvhunduka maungira epfuti.
Kunana mambo ndizvozvowo. Vose vakaita murakatira pasi voti imheni.
"Mheni iya," akadaro mambo Hana ichirova. Aifunga kuti vari pasi
vamupandukira.
Muchinda mumwe chete akanga asara akakaruka atarisana naHaurungwi
uyo akanga akatendeka pfuti.
"Usasvika ndokuita,"akadaro Haurungwi. Muchinda uya nekusazivawo
akabva asimudza pfumo ndokumhanya akananga kwaiva naHaurungwi
uyo akabva aridza pfuti zvakare muchinda ndokuita kukudubuka
namanhede. Kurira kwepfuti yechipiri kwaakaita kuti mambo vaite kunge
kapwere kuri kutya.
"Tadii tayenda, pano pashaya, topera kufa," akadaro mambo. Paakamuka
vana Taiziveyi vakabva vamhanya vodzika negomo. Vakabva vavanda
kuseri kwedombo ndokuti kuna Varaidzo akwire pamusoro pedombo
akabata pfuti.
"Vavhundutsire," akazevezera Taiziveyi.
"Eh! Iwe Mukanyairi ndini Varaidzo musikana wawaida kubhinya ndiri
pano. Vana vako vakadyiwa vose neshumba ini ndiri mupenyu. Nhasi iwe
nehondo yenyu muri kutsakatikira pano."
Machinda akatendeka ndokuona musikana akamira pamusoro pedombo.
Vakatanga kumhanya voyendako kunomubata. Iyewo hameno kuti
akapindwa nemweyayi ndokukona pfuti sekudzidziswa kwaakanga aitwa.
Akabva atanga kuridza akatendeka mumachinda aimhanya achiita
kwaari. Vakatanga kudonha rimwe rimwe kudzamara kwasara vashoma
avo vakaramba vachingouya. Ipapo vana Taiziveyi naHaurungwi ndipo
pavakapindira. Machinda akaita murakatira pasi zvekuti mambo akasara
ava pamhene. Zvakamunetsa kuti mheni dzauraya vanhu idzi dzaakanga
dzawanikwepi. Akaramba akangoto tuzu akamira namakurukota akanga
asara. Vana Taiziveyi vakabva vabuda pavainge vakavanda ndokufamba
vakanga kwaiva naMambo.
"Mukatiza munofa. Zvitanda zvatakabata izvi zvinorutsa moto unouraya
zviri kure,"akadaro Taiziveyi. Vana mambo vakabva vakombwa
ndokutorerwa zvombo zvose. Vakabva vagariswa paso Taiziveyi achibva
ati, "VaMoyo, handizivi kuti munofa kuti tiite sei navanhu ava. Imi ndimi
tenzi wedu pano."
"Musandiuraya vangu. Ndokupayi zvose zvamunoda," akadaro Mambo
Mukanyairi meso atsvuka.
TAIZIVEYI
Chitsauko Chegumi Netatu
naTafadzwa Chaponda
vana Taiziveyi vakasvuura makavi vachibva vasunga Mambo Mukanyairi
nemakurukota ake mbira dzakondo. Vapedza vakabva vavaunganidza
paruware ndokubva vati kuna Varaidzo, “hamusati mataura kuti tidii navo.”
Varaidzo akanga akabata muchiuno nerumwe ruoko rumwe rwakabata
pfuti iyo yainge yakaitwa kunge tsvimbo.
“Ndoda kuti ambonzwawo zvaanoitira vamwe.”
“Ah vanangu musadaro. Ko inga wani ndati ndokupai zvose zvamunoda,
chero uMambo ndokupai.”
“He-e!” vose vakadavirirana vari vatanhatu. “Umambo?”
“Hongu vanangu asi mondisiyawo ndiri mupenyu. Ndinoita hangu
muranda wenyu kana muchida.”
Vose vakati bvuu kuseka ndokuti, “Rinonaka richakweva rimwe, kana
rokwehwa roti mavara azarevhu. Ndanga ndichiti kune mamwe
machindaka ari kuuya nehondo huru kubva kumuzinda.”
“Chero vakauya nehondo vanangu mati tsvimbo dzamunadzo dzinopfuta
moto idzo pane angasara. Mandikunda vanangu. Ndimi vana tenzi
vangu.”
Taiziveyi akabva aswedera pedyo ndokuti, “ko ini muchiri kundiziva here
changamire? Ndinika mukomana uya wamaida kuuraya muchiti ndatora
mudzimai wenyu Munaku. Natsai kunditarisa.”
“Ko ndicharangarira here nhai mwanangu? Vandakatonga vakawanda ko
taigoziveyiko mwanangu kuti tiri kuzvigokera mwoto muziso,” akadaro
mambo akarereka musoro. Kutaura kwaiita uku aivaraidza nguva nekuti
akanga aona rimwe ramachinda ake richitiza kuyenda kumuzinda
nekudaro aiziva kuti kwakanga kuchiuya hondo huru yaigona kuuraya
vana ava.
“Asi umambo hwava hweduka?”
“Hongu vanangu. Chindisunungurayi ndiinde. Ava vasara chero
mukavauraya hazvina mhaka asi ini ndiregeyi ndiyende. Ndinobva
ndatama ndonotsvaga upoteri kunyika iri kure-kure.”
Vana Taiziveyi vakatarisana ndokuseka zvakare.
“Aiwa haisati yasvika nguva yacho changamire. Izvozvi
ndavakukusunganidzai makafuratirana moita mutsetse, vamwe
vakatarisa uku vamwe uko. Ndoda kuti mumbonzwa mushana uri
paruware pano.”
Sezvo zuva rakanga rorova nhongonya ruware rwaipisa kunge
rwaveserwa mwoto. Varume vakuru vainge vaongoshinyira
vachizvingonyoka nehweshero samakudo. Vana Taiziveyi vachingopedza
kusunganidza varume ava vakanzwa maungira eruzha rwehondo yaiuya
ichibva nekumuzinda. Muchinda wekutiza akanga ayenda akanotora
machinda ose akanga asara neakanga ari kumisha yawo. Vaigona
kusvika zana sezvo vanna mambo vakanga vakaita zimutsetse, vana
Taiziveyi vakavanda seri kwavo. Misive yakati yotanga kunaya,
vakomana vainge vakavanda seri kwamakurukota namambo. Makurukota
matatu akabva abaiwa nemiseve ndokufa. Machinda aya aona kuti ari
kuuraya vanhu vavo vakabva vambomira kukanda miseve. Ipapo
Varaidzo ndopaakadaidzira nezwi guru ndokuti, “Vanhu ngavaurawe,
yava hondo-o!” Izwi iroro rakasvika kure. Pfuti dzakatanga kurira varwi
vaMambo Mukanyairi vakatanga kuita murakatira pasi kunge chakata.
Nenguva isipi kwakanga kwasara vasingadariki makumi mashanu avo
vakaona kuti kwashata ndokutanga kuita chitsoka ndibereke vachitiza
vakananga kumisha yavo. Taiziveyi akabva auya nehasha pamberi
paMambo Mukanyairi ndokuti, “manga muchiti makachenjera? He-e?
Mukuruka hatisi pwere manzwa!”
“Hongu changamire.”
“Haurungwi chimbotanha shambu yetataonga ndimbogadzirisa zimunhu
rine utsinye iri,” akadaro Taiziveyi akazara nehasha. Shamhu iya
yakauya. Yaiti ikarova yobva yahaka nenyama zvekuti yaiti kana
yodzurwa yaidzura nenyama. Mambo akabongomora mhere.
“Inga wani ndati ushe ndakupai vakomana. Mandikuvadza.”
Zvose izvi hapana aizvinzwa. Vose vakazvambaradzwa zvekuti rainge
rangova ropa chete pamuvir. Vakabva vasimudzwa ndokutanga kutinhwa
vakananga kumuzinda. Vakasvika kuya waneyi vakadzi nevana vangoti
duku vari mujinja mebwe raive mujinga megomo raiva pamuzinda. Vanhu
vose vakashevedzwa ndokuuya kudare waneyi mambo wavo akasungwa
mbira dzakondo. Vazhinji vakafara asi nechemumoyo nekuti vaida
kunzwa kuti chii chakanga chichiitika. Vakagariswa pasi Taiziveyi
ndokusimuka.
“Ini ndinonzi Taiziveyi mwana waHumadzavarombo wekuvaDuma.
Ndakauyawo muno ndichitsvaga utiziro ndokuponeswa nanaHaurungwi
vagere apa. Vazhinji mondiziva somwana wehanzvadzi yababa
vaHaurungwi. Aiwa, handizvo. Ndaitsvaga kupotera asi ndanzwa kuti
mambo wemuno aiva nehutsinye uye nemoyo unenge dombo ndakabva
ndareva nhema. Mambo vakazonzwa kuti ndanga ndichitamba
navasikana kurwizi ndokuti ndatora mukadzi wavo anova iye Munaku.
Ndakauya pano zvikanzi ndaifana kuurawa ndopandakatiza ndikayenda
kuNjanja uko ndazopfuurira kusvika padyo nyanza kwandakawana
chombo ichi. Vazhinji matonzwa zvaitika kubani uko. Kana muchinda
munonozvionera. Mambo wenyu akazoda kubhinya Vamoyo vekudunhu
kwangu vagere apo avo ndokuvakonewa asi vakabva vatuma vanhu kuti
vanovasiya kusango kuti vadyiwe neshumba. Izvozvo zvakaitika
takatarisa nekuti takanga takavanda mugomo. Vakauya zvechokwadi
ndokusungirira mwanasikana uyo pamuti mushure mekumurova
zvakaipisisa. Mukatarisa musana wake mavanga oga. Vadaro vakabva
vaona shumba dzaiva dzakazorora zvadzo ndokutiza vachikwira mumuti.
Shumba dziya dzakada kuti dzidye mwanasikana uyu asi ini ndakabva
ndaridza pfuti iyi ndokuvhundutsa vakomana vaiva mumuti vakadonha
pasi ndokuvhunika makumbo. Vakadyiwa vose neshumba. Mambo
wenyu hatingatauri zvaitika kwaari asi ndine mubvunzo mumwe chete.
Munomuda here ndimusunungure zvangu ndotora hama dzangu
ndodzokera kwandakabva?”
“Aiwa! Aiwa! Ngaafe! Ngaafe!” vakashevedzera vanhu.
“Changamire manzwa zvataurwa navanhu.”
“Aiwa chivaudza kuti umambo ndapa iwe saka ini ngandiregedzwe
zvangu nditizire kunyika iri kure.”
“Inini?”
“Hongu, iwewe mwanangu? Uri mambo nekuti wakashinga zvandisati
ndamboona. Kusunga mambo mbiradzakondo sezvizvi.”
Imwe harahwa yakabva yasimudza ruoko.
“Eh sekuru, taura henyu,” akadaro Taiziveyi.
“Changamire wangu,” akadaro achigwadama pasi ndokuombera. “Aiwa
ini ndafara zvikuru. Murume uyu navanhu vake avo vakanga vationesa
chamutava-nhava muno. Zvazvadai aiwa ndakuchifa zvangu ndichiziva
kuti vazukuru vangu vapona. Iwewe ndiwe watova mambo wedu
mwanangu. Zvekuti uri mubvakure hazvina kana mhaka. Ndiwe watumwa
navaripasi kuzotinunura nekudaro ndiwe mambo wedu.”
Achipedza kutaura madzimai akabva apururudza vakomana ndokuridza
miridzo nemheterwa. Taiziveyi akakatyamara nekuti haana kumbobvira
azvifungira.
Vakatanga kuimba.
Muvambi: Havo ndibaba
Vabvumiria: Avo ndibaba vedu tavaona
Muvambi: Tavaona netsvimbo yavo
Vabvumiri; Avo ndibaba vedu tavaona
Muvambi: Taiziveyi ndibaba
Vabvumiri: Taiziveyi ndibaba vedu tavaona.
“Ndivo ivava. Vetsvimbo inorutsa mwoto
Vakagwadamisa Mukanyairi wekukanyaira neropa ravanhu,
Ndimi mambo wedu,” akapedzisa achidetemba muimbi.
Taiziveyi akashaya kuti opindura achiti chii. Akabva angozoti, “Handizivi
zvangu asi hamuna kureva kuti todii navanhu ava.”
“Changamire! Ava vasiyei mumaoko edu,” akadaro mumwe murume
anova aiva pakati pamachinda ekutiza hondo. Ainge aurairwa mai vake
nekudaro aiva neshungu dzekutsiva. Taiziveyi akangozobvuma kuti
vanhu vaite zvavanoda. Mambo Mukanyairi akabva atorwa navanhu
vaimbotonga ndokuyendwa naye kurwizi uko akatosungirirwa dombo
ndokukandwa mumvura. Taiziveyi haana kuva nehanya nazvo nekuti iye
zvekuuraya vanhu aisatoda. Akabva atanga kuona vanhu vouya pamberi
pake vakatsikitsira. Haana kuzvitenda kusvika mwana wamambo
Mukanyairi musikana akanga asara sekuti vakomana vakanga vafa
vachitungamira hondo auya pamberi pake ndokuti.
“Tenzi wangu isu tingoriwo vana hatina mhosva. Muchatitongawo here
nemhaka yamadzibaba edu?”
“Ko ati ndiri mambo ndianiko?”
“Tenzi mukaona harahwa iya yataura yataura ndizvozvo nekuti ndiyo
yaimbova svikiro remumuzinda uno rikazodzingwa nababa vangu. Svikiro
harirevi nhema tenzi wangu.”
Taiziveyi akabva aramba anyerere ndokutarisa Haurungwi.
“Ichokwadi Changamire,” akadaro Haurungwi.
“Newewo Haurungwi wakunditi changamire?”
“Ndimi matova changamire.”
Ipapo Varaidzo akabva asimuka ndokuuya kuzopfugama pamberi
paTaizivey ndokubonda maoko kwakuti, “Changamire wangu, ndinoda
kukutendayi nekundiponesa kwamakaita pamumvuri werufu. Raramai
kusvika nariini uye mutonge zvine njere sababa vangu.”
TAIZIVEYI
Chitsauko Chemakumi Maviri Nena
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
“Dzokorora zvawareva, wati kudii?” ndiHonzeri uyo ainge aita kuisa nzeve
yake pamuromo waHama.
“Ndati munhu akatikoka kuvaHera ndiTaiziveyi ava mambo ikoko saka
akati ndikuudzeyi kuti muunze mai vake kwaari .”
Honzeri akamboseka ndokuti, “Haurevesi? Handiti Taiziveyi akafa kare-
kare? Nyangwe akava mupenyu, haangamboiti mambo wavaHera,
Mukanyairi anenge ayendepi?”
“Mukanyairi? Ah akafa achiita zvekuurawa navanhu vake. Hanzi
vakamusungirira dombo vakamukanda murwizi. Chero Mambo Muturiki
variko ndakavaona nomwana wavo Varaidzo.”
“He-e!” Honzeri akaita kunge adirwa mvura ine chando mumusoro.
Akatozvibata chifuva kuti hana idzikame.
“Unoreveyiko nhai mwanangu?”
“Hakuna kumira zvakanaka baba. Inini hangu handisi kuzogara munyika
muno kumirira kuuya kuzourawa naTaiziveyi. Anditumazve namamwe
mashoko kuna mambo pamwe chete nekuna vatezvara vangu
VaDamba.. Hazvina kumira zvakanaka,” akadzungudza musoro Hama.
“Ha-a newewo uri gwara. Ungatyisidzirwa naTaiziveyi. Ngaauye kuno
tomuita kanyama kanyama. Ko tinonzi vanaaniko isu? Haasi kuzivaka kuti
Mwanaweushe ava nehondo inotyisa kuno. Machinda edu ehondo
anodarika mazana matatu. Ngaauye aone zvaanoitwa.”
“Baba,” akadaro Hama akatarisa baba vake achivanzwira tsitsi. “Dai
makangwara maita zvaareva. Munoti imi Mukanyairi akanga asina
hondo? Munoti imi Mukanyairi aiva mambo wekutamba naye? Taiziveyi
ane tsvimbo dzinorutsa moto.”
Honzeri akapwatika nekuseka ndokuti, “wakambozvionepi izvozvo?
Aikuvhundutsira. Haiwawo. Chirega zvangu ndiyende kunamambo
ndingonomuudzawo kuti agadzirire machinda ehondo. Toda kumuona
paanouya pacho.”
Vakaparadzana Hama oyenda kwatezvara wake uyo waakanotaurira
zvaakanga audzwa naTaiziveyi. Haanawo kuzvibvuma nekudaro Hama
akazoti, “Ini baba handichagari muno ndavakutiza nomukadzi wangu
nekuti handingamiriri rufu ndigofa ndakasvinura sehove.”
“Ko uri mbwende yakadaro nhai Hama? Deno ndakaziva handaikupa
mwana wangu. Hausvodi ipapo?”
“Kufa hakuna nyadzi baba,” akadaro Hama akusimuka kuyenda.
Akasvikoudza mukadzi wake kuti arongedze katundu kavo vachibva
vatanga kufamba vakananga kwavakanga vasingazivi kunotsvaga
upoteri. Akasiya fuma yose yababa vake nekuti akaona zviri nane pane
kufa asati aona mwana wake waiva mudumbu.
Mudzimai wake ndiye aingofamba achidemba zhira yose. “Dai ndakaziva
haitungamiri zvokwadi. Handiti dai ndakaziva ndakangoroorwa
naTaiziveyi dai ndatova vahosi veumambo? Zvino fuma yandaivinga
kwaHama yasara yose toyenda kwatisingazivi.”
Honzeri achisvika mumuzinda akaturira mambo shoko rainge rabva
kuvaHera. Mambo akatanga aseka ndokuti, “saka iwe wabvuma kuudzwa
madzana mbwanana akadaro? Ini ndoziva kuti mambo wavaHera
ndiMukanyairi. Dai kwava namambo mutsva vaituma nhume kuno
kuzondiudza.”
“Mwana wangu Hama haarevi nhema. Akabvako nomukadzi wake uye
zvinonzi mambo Mukanyairi mupenyu ndiye ari kutobetsera Taiziveyi
kutonga nekudaro hanzi humambo hwenyu hwasvika kwamvura yacheka
makumbo.”
Mwanawehushe akabva aseka zvake ndokuti, “usavhundusirwa nezizi
richiti rine nyanga, izheve. Hakuna zvakadaro. Kana Taiziveyi ari
mupenyu inhapwa haasi mambo. Mukanyairi kana ari mupenyuwo
inhapwa. Iwe kuti ugutsikane ini ndichatuma nhume dzangu mangwana
ikoko kuvaHera dzonozvinzwira pamhuno sefodya.”
Nekudaro kwakatumwa machinda gumi senhume kuyenda kuvaHera.
Machinda aya akaita mazuva matatu achifamba ndokusvika. Vachibira
Nyazvidzi vakabva vamiswa navakomana vainge vane pfuti. Havana kuda
kurwisa nekuti vaizviti inhume. Vakatorwa ndokuyendwa navo pamberi
paMambo Taiziveyi avo vainge vagere naMambo Muturiki padivi.
“Munoda kuti ndiite sei nemi nekuti kuno vasori vanourawa?” akadaro
Taiziveyi achinon’ona meno.
“Changamire wangu hatina kuziva kuti zvedi matova she nekudaro
tatumwa kuti tizoona kuti zvechokwadi matova she here.”
“Izvozvo izvo hamuzivi kuti ndiko kusora kwacho? Imimi mototenda vari
pasi kana mukazotsika shoka dzenyu munyika yavaDuma zvakare,”
akadaro Taiziveyi.
“Changamire tinokumbirawo ruregerero. Musatiuraya nekuti isu
tangotumwawo uye mutumwa haana mbonje.”
“Dai muri vatumwa musina zvombo zvamunazvo izvo.”
Machinda aya akaita kuvata pasi nedumbu vachikumbira ruregerero.
Machinda aya haana kuzourawa nekuti Mambo Taiziveyi vaisada ropa
mumaoko avo pavanhu vasina mhaka. Izvi vakanga vazvidzidziswa
naMambo Muturiki. Machinda aya akabva atapwa ndokuchengetwa
mumuzinda vakarindwa masikati neusiku.
Kwapera mazuvamatanhatu Mambo Mwanaweushe vakabva vadaidza
makurukota avo kudare.
“Varume pano paita nyaya. Honzeri akauya pano achiti iye tapuwa
mazuva manomwe kuti ndiburitse munhu anonzi Tichafuma. Tichafuma
ndiani?”
“Ah changamire, Tichafuma munun’una waTaiziveyi akaurawa mushure
mekunge azvidza dare.”
“Heya, ah ko uyo akazvidza vakuruka. Asi nyaya iri mudariro nhasi
ndeyekuti nhume dzandakatuma kuvaHera hadzina kudzoka. Dzaifanirwa
kudzoka nhasi asi hadzina nekudaro handichazivi kuti vakadyiwa
nezvikara here kana kuti vakatapwa ikoko.”
“Changamire, ndinoona sekuti kana takangwara ngatiunganidze varwi
vedu nekuti zvakataurwa naHama zvinogona kunge chiri chokwadi. Dai
dziri nhema dai aripo. Zvino akatotiza Hama nomukadzi wake achiti
anotya kufa. Takanzwazve kuti iye Taiziveyi ane tsvimbo dzinobuda
mwoto, itsvimbo rudziiko idzodzo.”
“Zvetsvimbo inhema dziya. Makamboonepi tsvimbo inorutsa mwoto
chibarirwe chenyu chose. Ikoko kuvhundutsira kwezizi richiti rine nyanga
izvo dziri zheve,” akadaro Mwanaweushe.
Taiziveyi akaita Varaidzo mukuru weuto raifanirwa kuyenda kunotora
ushe kuvaDuma. Mwanasikana akanga akapakata pfuti achitungamira
hondo yavarume zana. Pazana iri, makumi maviri ndivo vakanga vane
tsvimbo dzirutsa mwoto vamwe vainge vane uta, miseve, mapfumo,
makano namabakatwa. Ivavo vaitirwa kuzopedzisa vanenge votiza. Varwi
vakarongwa vari zvikwata zvishanu. Nhume dzaMwanaweushe dzakanga
dziripo dziri kumashure dzakasungwa. Kwekupedzisira ndiko kwaiva
naVaraidzo akakombwa navarindi gumi uye vamwe vakamutakura
patanda pamafudzi avo. Izvi zvaitirwa kuti akwanise kudaidzira
zvakanaka kana hondo ikatanga uyezve kuti asanyadzwa nekufamba.
Vakabira Nyazvidzi kwonoyedza ndokutanga kuridza ngoma dzavo
nehwamanda kukoka varwi vaMwaweushe kumapani. Mwanaweushe
semambo akanga asina kumborwa hondo akarega varwi vake
vachikabira chiredzo chaVaraidzo. Vamwe vacho vakanga vari mubani
vamwe vakavanda mumakomo. Varwi vaMwanaweushe vakabva
vakwirawo mumakomo aiva kune rimwe divi ndokutanga kukanda miseve
kuvarwi vaVaraidzo. Varwi vaya vaitonzvenga zvavo miseve ndokutanga
kuita kunge votiza. Ipapo Varwi vaMwanaweushe vakabva vati dzawira
mutsvwanda ndiye soma-soma vachipinda nemubani kuzviyanikwa
pamhene. Varwi vemiseve vakapinda mumiti vepfuti vachiuya ndokuvata
namatumbu ndokutanga kudziputisa. Varwi vaMwanaweushe vakanzwa
kunge mheni uko vachiita murakatira. Mubani makafa varwi zana nenguva
isipi vamwe makumi masere vakanga vakuvara zvekusakwanisa kufamba
achingoyuwira vari pasi. Mukuru wehondo yaMwanaweushe akaita kunge
arohwa nezveusiku. Akashamisika kuona vanhu vachidonha pasi kunge
chakata dzaibvisa. Akabva akwamatata nezwi guru rakaita maungira
nemakomo.
“Budai mose mutevere vanhu avo! Mungaurawa navanhu vari kutiza
here?”
Ipapo Varaidzo ainge achizvinzwa ari kune rimwe divi uko akanga
akavanda muchikomo chaiveko achiona zvaiitika mubani. Akaona vanhu
vachibuda mumakomo vachipinda mubani.
“Pfuti-i-i! Pfuti-i-i!” akakwamatatawo zvakanzikwa kumhiri. Dzakatanga
kuputika semaputi vanhu vachiita murakatira zvekuti kwakasara varume
makumi vamiviri avo vakatanga kudzingirirwa nevemapfumo
ndokupedziswa. Vashanu chete ndivo vakakwanisa kupukunyuka
ndokudzokera kumukuru wavo uyo akaona kuti akawanikwa aigona
kuurawa ndokutanga kutiza akananga kumuzinda. Varaidzo akavaona
vachiti mve-e vodzira murwizi ndokuziva kuti vainge votiza. Akabva ati
vamwe varwi makumi mashanu vatevere iye ari kumashure nechekure
uku kumashure kwake akakombwa navamwe varwi makumi mashanu
pamusoro pavarindi vake.
Mambo Mwanaweushe akanga agere mugomo raive pamusha wake
namakurukota paakaona mukuru wehondo yake achimhanya achiuya
kumuzinda achiteverwa navarume vakanga vakawanda. Akabva acheuka
ndokuti, “gomo rakoromorwa. Mukati mheni dzanga dzichirira handi
tsvimbo dzinorutsa mwoto dzairehwa?”
“Changamire ndakambokuudzai makaidza nharo. Ndidzo chete. Vanhu
avo vakawanda zvikuru,” akadaro Honzeri achifamba-famba akabata
muchiuno.
“Mwanaweushe hauteeereri, nhasi tourawa pano,” akayenderera mberi
Honzeri.
“Iwe, zvibate ndiri mambo ini wazvinzwa.”
“Mambo upi? Heyoka hondo yaTaiziveyi. Chiimirirayi ini ndayenda ini,”
akadaro Honzeri odzira gomo kutiza. Haana kuziva kuti varwi vaVaraidzo
vainge vataramuka ndokufamba vakakomba muzinda waMwanaweushe.
Honzeri paakadzika gomo akabva asvikodhumhana nemukuru wehondo
yaMwanaweushe uyo akanga akuita kunge achabuda rurimi nekuneta.
Akabva ati, “Varikuuya! Varikuuya! Uye vakawanda vane tsvimbo
dzinorutsa mwoto. Varwi vose vapera kubani uko rwava rwizi rweropa.”
“Handeyi nekoko,” akadaro Honzeri. Vakatanga kumhanya votora rimwe
divi. Vachingoti dzikeyi nemuzinda vakabva vasangana navo. Vakaita
kuchera pasi neshoka kuri kumira.
“Aiwa hakuna kwamuchatiza muchiyenda,” akashevedzera murwi
waVaraidzo.
“Aiwa vananhu chindisiyai ndiyende mombe dzangu dzose mosara
muchitora dzava dzenyu,” akadaro Honzeri.
Murwi haana kudavira, akango mutarisa uku akatendeka pfuti pana
Honzeri.
“Tsvimbo iyi ndainzwa nembiri mwanangu, ndisiye ndiyende iwe woyenda
kumusha uyo-o uri kumhiri uko wonotora mombe dzose dziripo
dzinodarika mazana maviri.”
“Handidi mombe dzenyu baba. Vatayi pasi nedumbu. Mese!”
Vakarariswa pasi nematumbu ndokusungwa maoko nekumashure.
Honzeri aingochema-chema asinganyarari.
Mugomo maiva naMwanaweushe yainge yangova bata murefu bata
mufupi.
“Ndiri mambo ini. Handizi mbwende. Vanouya pano ndinovarwisa
semvumba. Mumwe nemuwme ngaabate pfumo rake zvakasimba.”
“Changamire wangu, zviri nane titize zvichakanaka. Honzeri atoyenda.
Vanhu avo vakawanda changamire,” akadaro Damba.
“Ndizvozvo,” vakabvumira vamwe vamwe vacho.
“Ha-a! Mose muri mbwende nhai. Mbwende!” akakwamatata
Mwanaweushe.
“Zvino tatohwikwa kuti tiri pano,” akadaro Damba.
Zvechokwadiwo vakang vanzwikwa ukuwo vana Honzeri vainge
vakutinhwa semombe vachiyenda kwavakanga vasiya mambo. Varwi
vaVaraidzo vosvika mujinga megomo, Mwanaweushe akabva atoona kuti
pake painge papera ndokubva angosimuka ndokutanga kumhanya
achidzika negomo nerimwe divi. Ikoko akawana chimukana ndokupinda
napakati pavarwi vaVaraidzo avo vakazomuona omhanya achidzika
akananga kurwizi.
“Batai munhu uyo!” Akadevedzera Haurungwi uyo aive mutevedzeri
wehondo kubva kuna Varaidzo. Zvakatanga kudzingirirana
nemumakwenzi uku pfuti dzichiridzwa asi Mwanaweushe haana kubatika.
Akabva akwira mugomo vachibva varashana. Varwi vakatanga
kudzungaira vachimutsvaga vachimushaya. Panguva iyi, varwi
vaVaraidzo vainge vasvika pamuzinda makurukota abatwa kusanganisira
Damba ndokuunganidzwa pakati pechivanze. Vapedza kudai vakabva
vashevedza mukuru wavo uyo akapinda mumusha akasengwa.
“Mambo wavo haapo apa,” akadaro Varaidzo.
“Ah kuti handiye atiza akananga nekurwizi uko. Ndati machinda
amutevere,” akadaro Haurungwi.
“Ngaatsvagwe ndomuda pano izvezvi,” akadaro Varaidzo varwi
ndokutanga kuita vachabonderana misoro vachishaya pekutangira.
“Varaidzo uri mwana wedu iwe. Haungamboregi tichinyadziswa
zvakadai,” akadaro Honzeri agere muvhu.
Varaidzo akarova zvake chikwe-e ndokuti, “makanganwa chazuro
nehope. Makoshiwa kuti makatengesa baba vangu kuvaHera. Nhasi
ndauya kuzotora ushe hwamakaba. Chekutanga ndiri kuda kuona mai
Taiziveyi pano izvezvi.”
“Varipo, varipo mwanangu. Tuma munhu kumusha kwangu vanouya
izvezvi,” akadaro Honzeri.
Taiziveyi
Chitsauko Chegumi Neshanu
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Hama nemukadzi wake Machiveyi vakafamba mufambo murefu zvikuru
vakananga kumavirira. Vakafamba kusvika Rasa vasingacharioni. Voda
kusvika Gona vakabva vapinda mune rimwe zisango raityisa zvikuru.
Hama ainge ofamba akabatira hana mumaoko nekutya. Aive mberi
mukadzi ari kumashure. Vakuda kunopedza sango riya pakabva paita
rinenge bani umo vakabva vaita mahwekwe namambo wesango arere
zvake nemhuri yake kuri kuzorora kuti vawane simba rekuvhima kana
kwotonhorera. Hama akaita kunge achawira mumakumbo emukadzi kuri
kutya.
“Dzikamai kani, makatiza dzinobva dzaita hasha,” akadaro Machiveyi
achibata murume. Hama akanga asingachagoni nekutya zvekuti
zvakataura mukadzi haana kumbozvinzwa. Akatanga kumhanya
achitsvaga muti wekukwira. Shumbawo dzaona anototiza zvake dzikatiwo
tazviwanira nyama. Machiveyi akatoona kuti kuramba akamira aigona
kutotangwa ari iye nekudaro akabva angosvetukira mumuti waiva padyo.
Hamawo ainge achiri kungotsvaga muti achiwana isingakwiriki yoga yoga.
Izvozvo zvakazoita kuti avharirwe neimwe yeshumba hadzi
dzaimudzingirira achibva abuda musango ndokupinda mubani. Haana
kwaakasvika asati anzwa gumbo reshumba richimurova kunge arohwa
nebonda ndokunowira kwakadaro uko achiita kuumburuka. Shumba
yakabva yateverawo ndokunanga pahuro chaipo. Nenguva isipi, vaHama
vedu vainge vatova kunyikadzimu. Zvose izvi zvaive mumaziso
aMachiveyi uyo akanga ari mumuti. Akada kuti aridze mhere asi akaona
kuti aigona kutozozvidaidzira zvimwe. Murume wake akaitwa kanyama-
kanyama neshumba zvose zviri mumeso ake. Akada kumbodzika mumuti
kuti adyiwewo asi mumwe moyo wakazoti, ko mwana waunaye mudumbu
atadzeyi? Nezera rako iri unotowana anokuroora ukatoita imwe mhuri.
Shumba dzaguta dzakabva dzazvambarara zvadzo dziri pamutumbi
waHama. Dzakavata aya kudzamara kwasviba. Machiveyi akatozovata
mumuti muya akasvinura nekuti aitya kuti akabatwa nehope aigona
kudonha pasi akadyiwawo. Kuti azvisungirire pasi paisadzikika
kunosvuura makavi.
Kunze kwachena akabva aona shumba dziya dzisisipo. Hameno
kwadzakanga dzayenda nekudaro akabva ashinga ndokudzika
kwakutanga kufamba achicheuka-cheuka. Akafamba kusvika zuva roda
kurova nhongonya. Ndipo paakaona kuti akanga abatwa nechadzimira.
Nekuti akambobira rwizi ndokufamba kwabira rumwe zvakare. Apa
akanga akuvambuka Nyazvidzi opinda munyika yavaHera. Ndipo
paakanzwa mazwi avanhu vaitaura vakawanda. Chainge chiri chikwata
chavanhu rume vainge vakapakata zvombo zvavo.
Akabva apfugama mberi kwavo ndorereka musoro ndokuti,
“musandiuraya. Ndingoriwo munhukadzi ari kutsvaga upoteri.”
Machinda aiva kumberi akabva amira ndokucheuka kumashure kwaiva
navakuru vavo. Vakuru vachisvika mumwe wamachinda akabva ati,
“Changamire, tasangana namai ava vanenge vakazvitakura varikuti
vanotsvaga upoteri.”
“Ah musiyeyi, ndomuziva uyu. Handi Machiveyi mukadzi wemukoma
wangu Hama here?” akadaro Taiziveyi achiswedera padyo naMachiveyi
uyo ainge achakapfugama pasi.
“Ko wadii kusimuka zvako mwanangu,” vakadaro Mambo Muturiki.
“Ko matsvaga upoteri kwaita seyi kuvaDuma?” akadaro Taiziveyi
achivhunza nhema.
“Changamire, takabvako mazuva mazhinji apfuura tichitiza hondo
yaMambo Taiziveyi.”
“Taiziveyi ndini.”
“Ndazviona changamire, handitozivi kuti ndasvika sei kuno. Tabva kwedu
takananga kumavirira zvino nezuro murume wangu akadyiwa neshumba
nekudaro ndava kungopembereka nenyika ndava ndoga,” akadaro
Machiveyi misodzi yoyerera pamatama. Taiziveyi akamutarisa akanzwa
tsitsi.
“Iwe Motomuzhinji naMawere, torai mai ava muyende navo kumuzinda
moti vapuwe chikafu chekudya chakanaka uye vavachengete
zvakanaka,” akadaro Taiziveyi vachibva vayenderera mberi nerwendo
rwavo. Vachingobira Nyazvidzi vakabva vasangana nenhume
dzaVaraidzo idzo dzakavaudza kuti vainge vakunda hondo asi
Mwanaweushe akanga atiza. Vakafamba vachimutsvaga asi havana
kumuwana. Vakazosvika kumuzinda waMwanaweushe kwapera mazuva
maviri ndokuwana ari manyama amire nehari. Varume vakanga
vatambura nekushungurudzwa nemurandakadzi.
Honzeri akaita kutura mafemo paakaona Taiziveyi achisvika
akadungamidzana naMambo Muturiki.
“Ah mwanangu wagona wasvika, tiponesewo mwanangu. Tiponesewo
weropa.”
Taiziveyi haana kuda kumbozviteerera akanopfuura ndokufamba
akananga kwaiva naVaraidzo uyo akabva asimukawo
kuzovachinjamidza. Mambo Muturiki akapuwa pokugara ndokubva
varume vaya vaunzwa pamberi pake.
“Handina kana chekutaura kwamuri. Mambo wenyu aripi?”
“Mambo akatiza changamire,” akadavira Honzeri achiti zvimwe akataura
angaponeswa. Iye navamwe vake vakanga vava nemazuva matatu vasati
vambodzikotsira. Vairara usiku woga-woga vachidirwa mvura. Varaidzo
ainge achida kutsiva zvakavaita. Vagere kudaro vakabva vanzwa ruzha
seri kwomusha. Vainge vari varwi avo vakanga vavhomora
Mwanaweushe mubako. Ainge asingachagoni kufamba nenzara nekuti
kubva musi waapinda mubako haana kumbokwanisa kubuda kuti awane
chekudya kana chekumwa. Mambo Muturiki vachimuona vakabva vati,
“Madii kutanga pmambomupa zvokudya, ava kuziya nezhara
hamuzvivoni here?”
Madzimai akamhanya-mhanya kubika usvusvu ndokupa Mwanaweushe.
Vakamusiya achimbozorora kuti awane simba. Vana Taiziveyi naMambo
Muturiki vakabikirwa sadza remupunga nenyama yegwayi ndokutanga
kudya zvavo vachitaura nyaya dzehondo vachiseka uku vanaHonzeri
nana Damba vakati vavava uku vakasungwa maoko nekumashure.
“Asi nhai mwanangu, mai vako vawakataura vakauya wani. Inga wavaona
vakafara zvikuru newewo ukafarawo, haungandinzwiri vurombo
wondiregedza ndotsvaga upoteri kunyika iri kure-kure.”
“Mai ndavaona asi munun’una wangu handisati ndamuona.”
“Chokwadi chiripo ndechekuti munun’una wako hameno kwaakayenda.
Akanyangarika mushure medare rakaitwa naMwanaweushe,” akadaro
Honzeri. Vamwe vose vainge vakanyarara vangomirira nguva yavo
yekufa sekufunga kwavo.
Taiziveyi aguta akabva adaidza mai vake ndokubvunza nezvaTichafuma.
“Mwanangu, munun’una wako akatorwa namachinda aMwanaweushe,
hatina kuzombomuona zvakare.”
“Ndoziva hangu paari mhai,” akadaro Taiziveyi.
“Mupenyu here?”
“Ndinoda kuti ndivimbe kudaro,” akadaro oyedza kuti mai vake
vasarwadziwa.
Achidzokera kudare, Mwanaweushe akanga amuka agariswa pamberi
pemukoma wake akatsikitsira.
“Handina kana remuromo newe. Asi unoziva iwe chirango chemhosva
yawakapara nekudaro handina chekureva,” akadaro Mambo Muturiki.
“Changamire pamusoroyi,” akadaro Taiziveyi achigara pasi. “Ndinoda
kuziva kuti vakuru ava vakaisepi munun’una wangu pedzezvo ndinodawo
kuripwa mombe churu chimwe navatezvara vangu Damba pakundinyima
mukadzi wandakashandira. Ndikaona munun’una wangu Mwanaweushe
anorarama zvake, ndomupa pokugara kunyika yangu uko vose naDamba.
Ndine nyika yakakura zvikuru ine unyoro hwakanaka zvikuru.”
“Ah changamire wangu hamuoni kuti apo matonga zvakaoma? Chiuru
chemombe ndodziwanepi?”
“Ko munopuwaka neshamwari yenyu baba vangu ava Honzeri,
wekuuraya munun’una nechitsinga. Ko chitsinga chacho asi pane
pachinoshanda. Ndaive ndakateyaka kuti zvandatuma shoko ndichanzwa
gumbo kuti tya’a,” akadaro Taiziveyi.
“Nhai mwanangu, mombe dzangu chero dzikabata nedzaDamba
hadzisviki mazana mana. Waomesa mwanangu, asi inini wakati ndiunze
mai vako ndavaunza kare nekudaro dai wandiregererawo zijaya rangu,”
akadaro Honzeri.
“Zvakanaka izvozvo ko yaTichafuma iyi mati kudii?”
Ipapo hapana akadavira.
“Mwanaweushe! Hande unondiratidza pamakaisa munun’una wangu,”
akadaro Taiziveyi.
“Ah ah ah a-a-a, handi-ii, chokwadi handizivi. Ini ndakangomutema
nebakatwa rangu machinda ndiwo akasara omurasha,” akadaro
Mwanaweushe.
“Saka waiti anongofa zvorova? Chirega kuzvinetsa nekuti ndinoziva paari.
Handeyi tinomuona.”
Vakabva vasimuka ndokubuda mumusha vonanga kune rimwe bako iro
rakanga rakandwa mutumbi waTichafuma. Bako iri rainge rainge
rakasviba mukati richityisa kana kudongorera.
“Ari mukati umu saka Mwanaweushe, changamire, pindai mukati
mabhonzo amunoona kudivi rerudyi pokutanga, ndiye Tichafuma.”
Mwanaweushe akacheuka ndokutarisa Taiziveyi nemeso ainzwisa tsitsi.
“Mune mazirovambira nemhungu dzinouturu hunouraya mubako iri
mwanangu. Wandireyi kudaro nhai zijaya redu, ko wati ndichazvipamha
here mwanangu, ndadzidza.”
“Changamire, pindai mubako umu mutore mapfupa omunun’una wangu.
Ko handiti ndati mukauya naTichafuma mapona? Chii chinonetsa ipapo?”
Anzwa zvekuponeswa Mwanaweushe akapfeka hana yeushingi
ndokukotama opinda muzibako riya. Aive areva nhema kuti aisaziva
paakaiswa nekuti mutumbi uyu wakambofushirwa akauvhukunurisa
ndokuuya namachinda ake vomuisa mubako. Machinda akapinda
mubako iroro achitya asi nekutya kuurawa havana zvavaizviita.
Akafamba nhando nhatu dzinenge na achibva anzi ndete kurumwa
namaombera dzekuti akanzwa kunge atemwa nedemo achibva awira
pasi. Akanzwa musoro kutenderera ndokudzamba pasi osimudza musoro
achibva apamhwazve nerimwe murume achibva adududza kudzokera
kumashure uko akawana Taiziveyi akamira pamusiwo webako.
“Dzokera, dzokera.”
“Ndarumwa namago anenge maombera chete nekuti ndakutonzwa
dzungu,” akadaro Mwanaweushe achigara pasi.
“Machinda, munoda kumuuraya sei?” akabvunza Taiziveyi.
“Aiwa mwanangu, rega zvako ndidzokere,” akadaro Mwanaweushe
odzokerazve. Parizvino maombera akamusiya achidarika. Akafamba
nhanho dzinodarika gumi ndokusvika pamutumbi waTichafuma. Akabva
adyorera dehenya nemamwe mapfupa ndokubuda.
“Hazvisati zvakawana, mapfupa amakumbo hapana apa,” akadaro
Taiziveye achinan’anidza dehenya ndokuona kugotsi kwakabooka
kuratidza kuti kwakatemwa nebakatwa kana sanhu.
“Ndiye, kwasara makumbo, ehe neminwe yemumaoko haipo,” akadaro
Taiziveyi. Mwanaweushe akashungurudzika zvikuru ndokudzokera sezvo
aida kurarama. Akanodyorera mapfupa akanga asara ndokumaisa
mumhapa yake kuti asadzokazve. Atova kumukova akabva anzwa kuita
kunge abaiwa nemunzwa wemutataonga pachitsitsinho ndokucheuka.
Akanzwa kushinyira ndokunzvanzvadzira pasi. Akabva aona kubwinya
akabva aziva kuti akanga arumwa nenyoka. Akaedza kudzikama asi akati
achibuda pamukova webako akabva atanga kunzwa gumbo kurwadza.
“Changamire, ndarumwa nenyoka,” akadaro achigara pasi.
“Inyakayi?”
“Handina kuiona, changamire,” akadaro pakarepo gumbo rake rakatanga
kusviba nekuti ainge arumwa nemhungu. Taiziveyi akabva atuma mumwe
wamachinda ake kunotsvaga godobori asi nenguva yaakazosvika,
Mwanaweushe ainge asviba muviri wese kuita kunge matsito. Ainge
angorara akavhura maziso. Vagodobori vakamutarisa ndokudzungudza
musoro vachimuvhara maziso nemuromo.
“Hapasisina munhu apa,” akadaro.
Semunhu akanga apandukira she, Mwanaweushe haaifanirwa kuchemwa
savamwe aingofanirwa kuvigwa sembwa paina kana anochema. Chero
mukadzi wake navana vaisafanirwa kuchema. Pavana kwainge
kwangosara vanasikana nekuti vakomana vose vakanga vaparara
muhondo.
Vachidzika gomo, vakambomira kuudza madzimai zvakanga zvaitika
kugomo uye zvemapfupa aTichafuma akanga atorwa mubako.
“Nhai mwanangu wazoramba wakashinga pachiuru chemombe?”
akabvunza Damba.
“Vatezvara, munoziva here kuti mwana wenyu ari mumaoko angu uye imi
babamukuru, Hama akadyiwa neshumba kuGona uko,” akadaro
Taiziveyi.
“A-a-ah, ndakambomuudza kuti usatiza iye akaita nharo.”
“Mudzimai wake takamuchengeta kumhiri kwaNyazvidzi uko uye
takasangana naye achingomberereka namasango.”
“Ah,” akatura mafemo Damba, “Zvabva zvanaka, wochimutora hakozve
nhai mwanangu.”
Taiziveyi akabva aseka ndokuti, “Handirimi gura inini. Handichamuda
zvangu nekuti moyo wangu watova kumwe. Parizvino ndinoda kuripwa
mombe dzandataura,” akadaro.
“Idzo watiomesera mwanangu, hatidzikwanisi,” akadaro Taiziveyi.
“Zvisineyi ini handisi ndyire dzangu nekudaro mombe dzanyu
handichadzidi,” akadaro achisimuka.
“Nhai mwanangu, wadii kungotora zvako mombe zana wondisiyawo ndiri
mupenyu,” akadaro Damba.
“Machinda, vasunungureyi.”
Vakabva vasunungurwa vachibva vasimudzwa. Vakamira paya vakangoti
tuzu.
“Chibvai pano, handidi kana kuhwa munhuwi wenyu munyika muno. Kana
muchida munonotora fuma yenyu.”
“Chokwadi?” vakadaro pamwe chete zviso zvanyevenuka.
Vakabva vatendeuka ndokufamba vobuda mumusha. Vakashaya kuti
votangepi, kwaDamba kana kwaHonzeri vati fambe-fambe Honzeri
akabva ati, “Unoti iwe Taiziveyi akapusa kutiregedza tiri vapenyu? Ari
kuda kuti tevera ozotiuraya. Ini hangu ndavakusiya zvemombe izvi. Iwe
kana uchida zvemombe bva wavakusara,” aladaro Honzeri. Haana
kuzombofunga nezvemhuri yake avakutiza neupenyu hwake. Damba
akabva atevarawo kumashure.
Chitsauko Chemakumi Maviri neMatanhatu
naTafadzwa Chaponda +263774377654
Fungwa dzaMunaku dzakanga dzisisina kugadzikana nekuda
kwaVaraidzo. Nguva zhinji ainge ongofunga nezvaTaiziveyi. Zvino
Taiziveyi zvaakanga ava mambo akanga asingachaonekwe-onekwi.
Akamboita nguva yakati o asipo ainda kunorwa hondo youshe yaMambo
Muturiki. Hondo iyi payakapera kwakaita bira guru rokufarira kudzoka
pachigaro kwamambo aidiwa navanhu. Vanhu vainge vatamba
chamutava-nhava pasi pohushe hwaMwanaweushe. Vanhu vari kufara
pamutambo, Mambo Muturiki vaitonetsekana kuti kana kuri kuti vatorwa
nenguva, ndiani aizotora chinzvimbo chavo. Mufungwa dzavo munhu
akanga akatokodzera ndiye Taiziveyi nekuti ainge aratidza umhare
hukuru paakakwanisa kutora umambo kuvaHera.
“Zvino Taiziveyi nhai mwanangu? Hauoni kuti watobva zano uye hazviit
kuti munhu washe agare asina mubatsiri?”
“Muchireveiko changamire wangu?” akadaro Taiziveyi agere kuseri
kwechoto chavakanga vakakomba vachidya nyama yechiropa.
“Ndinoona sekuti wavakufanirwa kuwana mukadzi,” vakadaro Mambo
Muturiki.
Taiziveyi amboita kunge anosvoderera ndokusimudza musoro oti,”Iyoyo
iri muzheve changamire. Zvatapedza hondo dzanga dziripo idzi,
ndikadzokera uko, ndichafunga nezvazvo.”
“Asi sokuona kwangu unofanirwa kuti uwane mukadzi wako kuno
kumusha kwako nokuti ndiko kumatongo. Asi kana kuri kuti wafunga hako
kuwana ikoko, hazvina kuipa. Ndinotoona sokuti umambo hwako huri
kuno. Unoti iwe ndikafa pano nhasi, ndiani angachigara chigaro ichi?”
Taiziveyi akashaya kuti mukuru uyu aireveyi. Nyaya iyoyo haina
kuzoramba yoyenda mberi. Mutambo uchipera, Taiziveyi namachinda ake
vakabva vaoneka.
“Ko nhai Varaidzo, madii kuti muvaperekedze, munogona kumbonogara
zvenyu ikoko mozodzoka zvenyu. Ko pane chakashata here?” akadaro
Mambo achitaura nomwanasikana wake. Varaidzowo akatofara zvikuru
nekuti moyo wake wakanga worwadza kuti kana Taiziveyi akadzokera
kuvaHera ainotorwa naMunaku iye osara ari pachena. Nekudaro haana
kuda kuvhunza zvakawanda, akangorongedza katundu kake
ndokubatana navamwe vasikana voperekedzana nanaTaiziveyi.
Vakafamb zvavo zhira yose Taiziveyi achiita kunge asingaoni kuti
Varaidzo aivepo. Izvozvo zvakamurwadza zvikuru. Munaku paakanzwa
kuti Mambo Taiziveyoii vakanga vadzoka haana kana kukwanisa
kudzikama. Akanzwa moyo wake uchimuti dai ayenda kumuzinda
angonoonekwawo kumirizika ariyo. Pakasvika akasvikosangana
naVaraidzo uyo akanga atotora basa rekubikira mambo kuita rake.
Vasikana vachiita makwikwi avo ekuti vaonekwe nashe, ishe vacho
vakabva vadaidzwa kudare ramakurukota ayo aiva nerimwe kana maviri.
“Nemurairo netsika dzedu muno, mambo anofanirwa kunge ari munhu
ane mukadzi. Saka zvamuri munhu atobva zera hationi pane chakashata
makasarudza mhandara inofadza moyo wenyu,” akadaro mumwe
murume ainzi Izwirerufu.
“Ndizvozvo chaizvo,” vakagutsurira misoro vamwe vacho.
“Iri muzheve chivara asi zvinenge zvichida kupuwa nguva,” akadaro
Taiziveyi.
“Hon’o changamire asi nguva yacho yakuyenda ichipera nokuti bira
romukwerere rinofanirwa kuitwa mava nomudzimai. Mukatarisira
parizvino, kwatosara mwedzi mishomanene,” akayenderera mberi
nenyaya yake Izwirerufu.
“Saka manga mati ndiite sei vedare,” akadaro Taiziveyi.
“Ini hangu sokuona kwangu, nyaya iyi hainetsi nekuti ndakaona sokuti
pamhandara dzose dziri mudunhu rino, Munaku ane hunhu hunokodzera
kuva mudzimai wamambo,” akadarowo mumwe ainzi Mushambausiku.
“Ndizvozvo chaizvo., Nditoona kuti baba vake vangatofara nekuti
vakambokubatsirai pamakatiza hondo kuvaDuma. Kutoroorera mumusha
mavo zvinobva zvasimbisa ukama.”
“Ko kana kuri kuti moyo washe uri kune rimwe dunhu kure-kure,” akadaro
Taiziveyi.
“A-a-a izvozvo zvinogona kuti netseyi nekuti isu tsika dzedu ndedzekuti
mambo haaroori mubvakure. Netsika dzedu tinenge takanyanisa ropa
uyezve mwana anozvarwa ipapo haazokwanisi kugara ushe nekuti
anenge ane ropa ravatorwa,” akadaro Mushambausiku.
“Asi ini ndiri mutorwa wani.”
“Hongu asi imi makasarudzwa navari pasi nekudaro hatikwanisi kupikisa
zvachose. Kana matodai matova wemuno. Kuti tizoti muunze ropa
ravatorwazve, handioni zvichizobuda zvakanaka.”
Vose vakagutsurira misoro. Ipapo Taiziveyi akabva anyarara. Dare ravo
rakabva raperawo vanhu ndokuparara. Taiziveyi akasara achizeya
zvavakanga vataura. Iye mufungwa dzake nemumoyo akanga afunga
Varaidzo nekudaro zvainge zvotaurwa izvi zvaitoisa hurongwa hwake
musango.
“Ummm, aiwa mutemo wavatorwa dai waishanda, dai ndisina kuita
mambo mudunhu rino. Aiwa, ini moyo wangu uri pana Varaidzo. Munaku
hongu ehe akanaka asi anogona kuroorwawo namamwe majaya azere
mudunhu rino. Inga wani mwanakomana wavo ndamuita mukuru-mukuru
wavarwi uye ivo vanoita zvavanoda muno. Hakuna kumwe kuripa
kungadarika ipapo.”
Manheru akare iwayo akabva atuma shoko kuti Varaidzo auye. Varaidzo
akayendako hana ichirova ndokusvikogogodza pamukova. Taiziveyi
ainge agere padyo nomwoto wainge wakaisa chiedza mumba yake
yokuvata. Varaidzo akabva agwadama ndokuombera maoko.
“Maswera sei changamire wangu,” akadaro achiombera.
Taiziveyi akasekerera ndokuti, “ah muchireveni here nhai Vamoyo vangu.
Ah musandikwidza pamusoro pegomo kudero. Ndinozodziswa naani?”
“Ah pachokwadi ndimi she venyika ino nekudaro ndofanirwa kukupai
ruremekedzo rwakafanira,” akadaro Varaidzo achigara pasi ndokugonya
makumbo akatsikira pasi kuratidza kuzvininipisa. Taiziveyi haana kuda
kuzoramba achiyenderera mberi neyeruremekedzo.
“Vamoyo vangu,” akaita kunge anodetemba. “Nguva zhinji pandinotarisa
uso hwenyu ndinobva ndaona nyeredzi inopenya. Mazino enyu
mukanyemwerera anoita kunge mukaka. Ndinoona sokuti musiki akaita
unyanzvi hwake hwose pamuri. Ndinobva ndafunga zuva riya
randamiswa pamberi pedare namambo ndanetsana nemukoma wangu
Hama. Ndaiva murombo uye ndainge ndichishandira kuroora Machiveyi.
Zvakaramba zvaMachiveyi asi mumwe moyo waingoti dai ndiri mufumi,
ndaiyenda ikoko kuna Vamoyo.”
Ipapo Varaidzo akanga obaikana nekusvoda. Ainge ongotambisa-
tambisa chitambo chaive kumucheto kwemhapa yaakanga akasimira.
Taiziveyi akabva amutarisa pachiso ndokuti, “Moyo wangu unoshuvira
kuti dai zvaigona, maizouya kuzodziisa magudza angu muno nerimwe
gore.”
“Ah koi mi makadii kutaura kareko kana moyo wenyu wainge
wasarudzeni?”
“Ndizvo zvandarevaka kuti paya ndaingovawo zvangu ini uye ndaiva
pakushandira Machiveyi sekuziva kwenyu Vamoyo vangu.”
“Saka makuuya kwandiri nekuti Machiveyi akatorwa?”
“Handina kudaro. Ndogona kunge ndapotsa hangu muromo uye shoko
harivhikwi asi nyaya yandiri kureva ndeyekuti Varaidzo watora moyo
wangu. Chiuya utonhodze moyo wangu ndiwane shamwari yorwendo
rwoupenyu. Wati iwewe ndingafamba rwendo urwu ndoga. Ndakatarisisa
ndinoona kuti ropa roushe riri kuyerera mutsinga dzako dai wauya tazvara
madzishe amangwana.”
“Asi uri kutorevesa nhai Taiziveyi? Inga wani ndakanzwa kuti vakakupa
Munaku?”
“Zvaingova zvekutamba zvekumadziva uko.”
“Asi ndanzwa makuhwa iwayo kuti hanzi hauroori mutorwa.”
“Wazvinzwa naani?”
“Ah vanhu mumadziro imomu.”
“Heya, zvinogona kudaro asi ini handizvo zvandoda. Ini ndada iwe
Varaidzo. Kana ini mutorwa ndakagara chigaro cheushe, chinokonesa
kuti ndiroore mukadzi wandinoda chii?”
“Ah hameno,” akadaro Varaidzo achitura mafemo.
“Saka mati chii neshoko rangu nhai Vamoyo.”
“Ah zvoda kuti ndimbofunga nezvazvo,” akadaro Varaidzo akatarisa pasi.
Pakarepo pakapinda mumwe wavarindi achifemuruka.
“Ko kwakanaka here?” akabvunza Taiziveyi.
“Changamire, pane varume vaviri vabatwa vachingotenderera kugomo
uko. Havazivikanwi kuti ndevepi asi vanoti vabva kuvaDuma.”
“KuvaDuma? Vangagova vanaani? Mavaisepi?”
“Tavabata varipo changamire wangu.”
“Aiwa vachengeteyi ndichavaona mangwana.”
Ipapowo Varaidzo akabva aoneka ndokubuda. Achisvika muimba yake
yokuvata akashaya zvokuita nomufaro. Hamenowo akasvitsa shoko kuna
Munaku kuti Varaidzo akanga asheedzwa namambo. Munaku akakonewa
kuzvibata ndokuuya kumba kwaiva naVaraidzo.
“Wanga wayenda kunoiteyi kwashe?”
“Ah unoziva here iwe Munaku kuti ndiri Vamoyo kudunhu kwedu? Ndiri
mwana washeka ini haungauyi pamberi pangu uchindipesvukira kunge
unotaura nemuranda wako.”
“Mwana washe muranda kumwe mhai. Munotonga kwenyu kwete kuno.
Chero mukada henyu kupesvuka-pesvuka pamberi pashe. Ishe haaroori
mutorwa. She wedu isu anoroora vohwo,” akadaro Munaku achifinyama
kumeso.
“Ini zvangu handina simba rekunetsana newe shamwari. Chindibvirawo
kumhepo ndiwane kuvata.”s
TAIZIVEYI
Chitsauko Chemakumi Maviri Manomwe
naTafadzwa Chaponda [+263774377654]
Taiziveyi akamukira kuvasungwa vakanga vabatwa vachimberereka kuna
Nyazvidzi. Akarohwa nehana awana vari vana Honzeri naDamba. Ivo
vaifunga kuti vayenda kunyika iri kure-kure izvo vakanga vabatwa
nechadzimira vakarashikira kunyika yaitongwa naTaiziveyi. Vainge
vakasungwa maoko nekumashure vagere vakazedamiswa pamatombo.
“Changamire, ndovanhu vacho ava,” rakadaro jinda.
Taiziveyi akachonjomara ndokuombera maoko. “Ko makadiiko baba?”
Vanhu vose vakatarisana uku hana dzamachinda dzichitanga kurova kuti
zvimwe vakanga vasunga baba vamambo. Hapana akambozvifunga kuti
mambo vainge vakafirwa nababa sokutaurwa kwazvaiitwa. Honzeri
akatsikitsira ndokubva asimudza musoro waneyi Taiziveyi
achakangochonjomara.
“Mwanangu, dzandimomotera. Handitoziviwo kuti ndauya kuno sei.”
“Vasunungureyi zvenyu,” akaudza machinda ake Taiziveyi avo vakatanga
kuita chipata-pata kusunungura varume vaviri vainge vonzwisa tsitsi
nekutya kuurawa. “Handeyi navo kudare.”
Vakatorwa voyendwa navo. Taiziveyi akatemeswa musoro nevanhu ivava
nekuti akanga asisina tarisiro yekusanganazve navo muupenyu.
“Inini hangu handina chekuita nemi nekuti mumoyo makanga mune bundu
nezvamakandiita ndichiri mwana. Sezvineiwo vari kumatenga navari pasi
vakaona zvakakodzera kuti ndiwane chigaro choushe. Asi semi, ini
handina utsinye nekudaro handisi kuzofa ndakatsiva. Manga muchiziva
here kuti mwana wenyu Machiveyi ari muno? Murume wake akadyiwqa
neshumba iye akasara ndokurashikirawo kuno sezvamaita izvi.
Chandinotya hangu kukuchengetai, apo pari kundiremera. Ko kana
mukazondipandukira?”
Mukomana akapererwa. Vana Honzeri chero simba rekukumbira
reregerero vakanga vasisina. Vakanga vongoti chero zvauya.
“VaHonzeri muri baba vangu imi uye handingambokurashiyi. KuvaDuma
uko havadi kana kukuonai uye munozviziva. Inini semunhu weropa kuti
ndikutandeyi zvandiremera nekudaro muchangoonawo zvamunoita. Imi
vaDamba, mwana wenyu uri vuno saka motobatana moonawo kuti
mungaita sei. Ndapedza.”
Honzeri naDamba vakatura mafemo pamwe chete sokunonzi vainge
vaudzirwa.
“Waita hako mwanangu. Ndosaka uri mambo, unogona kutonga, hautongi
nehasha,” akadaro Honzeri. “Ndine chikumbiro chimwe chete
mwanangu.”
“Virimai tinzwe.”
“Zvawatipa pokugara kudai, hatingatamburi isu tine hupfumi hwakawanda
kuvaDuma uko. Mwanangu, Mambo Muturiki vanokuda zvikuru,
chivakumbire kuti varege mombe dzedu dzitinhwe dziuya kuno. Chero
vakatipa chikamu hazvina mhaka.”
“Zvakanaka baba, ini ndichataura naMambo kuti abvumidze mhuri dzenyu
dziuye kuno uye upfumi hwenyu. Ndichatuma nhume mangwana nhasi
chaiye zvokuti panopera mazuva mashanu kana matanhatu, mombe
dzenyu nemhuri dzenyu zvinenge zvava kuno. Ko ndimika ropa rangu,
mubereki haarashwi chero zvotsvuka seropa.”
“Ndizvozvo mwanangu, iwe unoziva chivanhu chedu iwe. Utonge kusvika
narinhi,” akadaro Honzeri azara nomufaro.
Munaku akanga atama kumusha kwavo. Mai vake vakamuti, “Ukaita
zvokutamba, anoyenda munhu wawanga watoroorwa naye. Ndiani
asingazvizivi kuti baba vako vakakupa kuna Taiziveyi mushure mekunge
atiponesa mumukanwa maMukanyairi?”
“Hapana.”
“Varaidzo ari kutoda zvekuwanikwa naTaiziveyi saka ukaita zvekuvata uri
kuno kumba unowana ayenda.”
Kubva zvaakauya mumuzinda kumadzimai kwakanga kusina kumira
zvakanaka. Muzinda waTaiziveyi wakanga uchiri kuvakwa nekudaro
waiswera wakazara vanhu vaivaka dzimba dzamapango. Varaidzo ainge
apuwa yake pauzima kuburikidza namambo. Uyu Munaku akanga
achirara kuna vamwe vasikana asina imba yake yakazvimiririra. Aona kuti
Varaidzo apuwa imba yake akabaiwa pamoyo akanzwa pahuro sepane
bundu. Neshungu akawana nzira dzokunosvika pana mambo avo
vaakawana vari mumba mavo vakatsamhira mutsago wedanda zvimoto
zvibwaira-bwaira nechekure.
“Ko kwakanaka here nhai Munaku wauya kuno?”
“Inini hangu ndinoda kuti imi mundiudze kuti nemhaka yei mafunga
kundinyadzisa zvakadai?”
“Ko ndakunyadzisa nokuda kweyi?”
“Imi munoziva kuti baba vangu vakati imi ndimi muchandiwana asi kubva
zvamabva kuhondo yeumambo washe Muturiki, hamuchambondicheuki.
Ndinonzwa kuti Varaidzo akatovinga kuzoroorwa nemi uye makatomupa
imba yekuti muzopota muchidziiswa namagudza ake.”
“Hezvo, nhai Munaku, kwakanaka here? Inga unoziva wani kuti ini
handina kubvisa fuma kumbwa kwenyu saka hausi mudzimai wangu. Ini
ndichiri jaya nekudaro kana kuri kuti moyo wangu uri pana Varaidzo,
handioni chakashata nekuti Varaidzo ingoriwo mhandara sewe.”
“Asi inini munoziva kuti ndakapotsa ndauraisa mhuri yose naMukanyairi
nekuti moyo wangu wanga uri pamuri kubva musati matombofungidzirwa
kuti muchaita mambo.”
“Ndizvozvo hazvo asi neniwo ndakanga ndatourawawo mukufungidzirwa
nyangwe zvazvo ndakazokwanisa kupukunyuka.”
“Asi handisi musikana akanaka ane hunhu?”
“Wakanaka zvinonwisa mvura uye wakatsiga Munaku,” akadaro Taiziveyi
Munaku achibva afara zvekuti akaonekwa meno kuchena murimamo kuri
kunyemwerera. “Asin yaya iripo ndeyekuti parizvino ndichambofunga.
Handisati ndaziva kuti ndiyani angava hosi yangu nekuti chigaro
chandinacho ichi chinoda mudzimai akashinga uye akachenjera.”
“Saka ini handina kuchenjera?” akadaro Munaku onzwa kuda kuchema.
“Aiwa wakachenjera zvikuru.”
“Inhema mati ndakapata,” ipapo fungwa yakauya paari ichiti, “zvauri
muno, chirega kubuda. Mambo akada kukuburitsa nechisimba, ridza
mhere.”
Akaramba akagara ati bwa chisero uku akatarisa pasi. Taiziveyi aiti
zvimwe achanzwa munhu ooneka asi munhu haana kuoneka. Akatanga
kushama n’ai kuyedza kudzinga Munaku asi Munaku akaramba agere
zvake.
“Ha-a, ndava nehope zvino. Wadii kuyenda wanovatawo?”
Munaku akaramba anyerere.
“Ko nhai Munaku, hauoni kuti kwasviba?”
“Nhasi ndovata muno.”
“A-a, izvozvo hazviiti. Chibuda uyende.”
Munaku akaramba akagara. Taiziveyi akashaya shumo yazvo. Sezvo
pamusiwo pake pairara pakarindwa akabva ashevedzera.
“Ndiani aripo nhasi?”
“Ndini Shumbayepasi changamire. Ndiripo hangu, ndanga ndamira
nechekure kuti mutaure nyaya dzenyu asi ndakatarisa changamire.”
“Huya tione.”
Munaku aona kuti ava kushevedzerwa murindi akabva asimuka ndokuita
kusvetukira pamagudza amambo ndokutanga kuridza mhere sokuti
mambo ainge amubata.
“Vandibata,” akadaro Munaku. Shumbayepasi akabva ati tuzu oshaya kuti
oti chii. Zvakaramba kupinda mufungwa dzake kuti mambo angaita
zvakadai kumukadzi agara achazova wake sezvairehwa namakuhwa.
Mambo akashaya kuti oti chii nekuti zvakaitwa naMunaku haana kunge
akazvitarisira. Mhere yake yakanzikwa kure zvekuti mamwe amakurukota
ainge avata mumuzinda akamuka ndokuuya achimhanya.
“Nhai changamire, ichokwadi here chinorehwa nomwana?”
“Handizivi kuti ndoti kudini nokuti ini pandimire pano, handingavi nehavi
yekubata munhu wandiri kutoramba pamberi pedare. Aiwa handinaro.”
Gurukota rakadzungudza musoro ndokuti nezwi nyoro-nyoro, “Zvino kana
zvadai pakunetsa nokuti atova mukadzi wenyu. Handiti agere
mumagudza enyu changamire?” Naiyewo murume uyu aida zvekuti
Munaku awanikwe naTaiziveyi. Taiziveyi akapererwa akanzwa makumbo
ose achiita kunge atemwa-temwa.
Gurukota riya rainzi Mhereyenyoka, raiva ramamwe makurukota ainge ari
nechekure kana zvichitariswa ukuru hwavo. Akamira ipapo
Mhereyenyoka akabva afunga zvaakanga audzwa nanaHonzeri masikati
pavakasunungurwa naTaiziveyi. “Apa tomubata chete, haangatori
umambo iye asiri chizvarwa chomuno. Zvino pamurawo iyi akairamba,
anenge otofanirwa kubva pachigaro nekuti anenge abhinya mukadzi.
Vana Honzeri vati vane mombe dzakawanda kumusha nekudaro
ndinokwanisa kuwana rutsigiro rwavanhu vakawanda. Ndinochitora
chete, mirai muone,” akadaro nechemumoyo uku Taiziveyi oita kunge
ndiye muranda agere mumagudza padivi naMunaku uyo aiyedza napose
paanogona kuswedera padyo naTaiziveyi.
Chitsauko Chamakumi Maviri Nesere
Ushamwari hwaHaurungwi naTaiveyi hwainge hwoyenda
huchinyungudika. Zvakatanga Haurungwi anzwa kuti Taiziveyi aramba
kuroora Machiveyi. Haurungwi akarwa hondo yaTaiziveyi nemoyo wose
achida kufadza Varaidzo. Mufungwa dzake aiti Taiziveyi akatorwa kare
saka Varaidzo akangawo ava wake. Izvozvo zvaiitawo kuti aswedere
pedo noushe sezvo Mambo Muturiki vakanga vasina mwanakomana.
Zvaireva kuti iye akaroora Varaidzo aigona kuzogadzwa umambo kana
kutonga ari seri kwomukadzi. Zvino Taiziveyi zvaakanga oda Varaidzo,
zvose zvakanga zvava musango. Paakanzwa nyaya yakanga yaitika
kumuzinda akabva amhanya kuna baba vake achifara zvikuru.
“Aiwa baba, Munaku akangwara. Apa Taiziveyi haabudi nokuti kana
uchinge wabatwa nomwana wavanhu sezvaaita izvi anenge ava wake.
Ngatitomubatayi ipapa nekuti akapukunyuka chete, haachatoroori
hanzvadzi yangu. Chokwadi nemanakiro akaita Munaku aya akona here
kuita hosi yavashe? Izvozvo hazviiti.”
“Ipapo une dama mwanangu. Dare racho ranzi kudiniko. Handizvo here
kuti vakuru vanofanirwa kugara dare voizeya nyaya iyi?”
“Ndizvozvo chaizvo baba, zvanzi mangwanani ano. Ndanga ndichiti
matogadzirira kuyenda. Ini ndavakutoyendayo kuti ndozvinzwira pamhino
sefodya.”
“Handeyi mwanangu.”
Vari muzhira vakabva vasangana naMhereyenyoka uyo ainge achida
kumbosvika pamusha pake kuti aone zvipfuyo zvake ozodzoka kudare.
“Mhazi, mamuka sei?” vakamhorosa baba vaHaurungwi.
“Ndokuno, mamukawo sei namadzibwa akadai kuuya nechando ichi.”
“Ndizvozvo, tinokosora tichira hedu. Kwakadii kwamabva kumuzinda?
Tanzwa kuti pane mashura aitika mauro.”
“Kwakanaka, ndiri kudzoka kuti tizoitamba nyaya yacho. Inyaya iri
pachena zvayo. Zvandatokuonai kudai zvanaka nokuti ndimika baba
vomwana.”
“Eh ndizvozvo. Mati tichagodiiko. Iye mambo anongofanirwa kutora
mukadzi wake.”
“Ehe-e, asika mambo pamurawo haabvumidzwi kuroora maroorero
iwayo. Manga mapaona here apo?”
“A-a-a, gara zviya. Eh ndozvokwadi iyoyo. A-a saka pakaomaka apa.
Zvino zvonzwiyi.”
“Ini ndinoona sokuti mambo ngaatore mukadzi wake asi pachigaro obva.”
“Hezvo!”
“Eh ndizvozvo, kana abva hapanetsi. Shamwari yake yaakarwa nayo
hondo yekubvisa Mukanyairi iripo Haurungwi uyu ndiye anobva apinda
paushe,” akadaro Mhereyenyoka achicheuka-cheuka kunzwa kuti hapana
unonzwa here.
“Apo panga pandiposha. Zvino vanhu vanozomutambira here iye
Haurungwi?”
“Vanokona neyi,” akadaro achizevezera. “Eh vanhu isu tichatanga
nekuvagovera-govera ufumi. Pane mombe dziripo.”
“Mombe? Dzaani?”
“Pane varume vakauya mumuzinda vane mombe zhinji dzavati dzinogona
kubviswa chikamu togovera-govera vanhu. Vanhu vanoda n’ombe kune
zhara gore rino,” aizevezera. “Asi ndaudzemi chete. Hapana anofanirwa
kuzviziva izvi. Isu handeyi kudare tichakwevera mamwe makurukota
padivi. Vakawanda vari kudivi kwedu. Mati tingatongwa nemutorwa vana
Haurungwi mhare idzi dziripo? Taiziveyi anogona kurwa hondo nekudaro
haabviswi pachigaro nehondo, ah, ko manga musingaioni nyaya iyi sei?
Hamungatori mafufu semakozhoka imi mwana wenyu akarwa hondo
inotyisa zvakadaro. Umambo ndehwake, Haurungwi uyu. Nhai haudi
kutonga iwe?”
“Ndoda,” akadaro mumoyo Mazara nemufaro. Haana kumbenge afunga
kuti umambo hungauya kwaari nenzira iyoyo.
“Wazvionaka? Ehe-e, ikozvino wakuvhura zheve wovhara muromo, isu
vakuru tichironga. Mwedzi uno haumboperi, unenge wava mambo iwe.
Mambo waVaHera. Chiregai ndimhanye pamusha towana dare
ravakupera.”
Vasara voga baba vaHaurungiw vainge vachine fungwa mbiri pazviro
zvakanga zvataurwa naMhereyenyoka. Mufungwa mavo zvakavanetsa
kuti munhu angangoita hondo yake yeumambo kuti agadze mumwe
munhu? Zvakavanetsa zvikuru ndokuti, “Unoiona sei nyaya yarehwa
naMhereyenyoka iyi?”
“Inyaya yakanaka baba. Ko nesuwo tohuda humambo chokwadi
tingatongwa nenhapwa, Taiziveyi watakachengeta atiza kumusha
kwake? Mhereyenyoka auya nenyaya yakanaka.”
“A-a-a, hameno nekutika, munhu haarongi tsoro dzake dzose dziya iwe
usipo pedzezvo oti umambo ndopa Haurungwi. Ndaona zvichirema ini.”
“Baba nemiwo munotya zvikuru. Dzikamisai hana, hakuna Taiziveyi
paanobviswa paumambo odzoka. Hakuna zvakadaro nekuti ini
zvandichaita ndezvekuti ndichatora pfuti dzose dzatinadzo ndodziviga.
Kana akada kunouya nehondo yaMuturiki anowana takagadzirira.
Tinomukunda chete. Naiye anotozviziva kuti kana achinge asina pfuti,
haandikundi hondo. Ko ndinika ndakapedza kuuraya hondo
yaMwanaweushe. Ndakauraya vanhu zana ndakavanda paseri pedombo
vakaita murakatira mubani ungati ichakata dzadonha mumuti,”
akazvitutumadza Haurungwi.
“Zvakanaka, bva-a rongai. Ungachiziva chakakodza nguruve?”
“Mazvionaka. Motonditi Changamire mwanangu,” akadaro achiseka
Haurungwi.
Sezvo Taiziveyi akanga ari mambo, dare renyaya yake rakagarwa asipo
vakuru vachionesana kuti voita sei. Gurukota guru ndiro raifanirwa
kuzouya roudza Taiziveyi zvokuita pamurawo wavo wenyika yavo. Vaiti
ivo Taiziveyi mutorwa nekudaro aizopisira. Naiyewo aitya kupisira vari
pasi vakatsamwa nekudaro aiteerera zvizhinji zvaitaurwa nedare
ramakurukota.
“Changamire, sokuona kwedu, Munaku ava mudzimai wenyu.
Tamubvunza isusu kuti unoda here kuroorwa naMambo akati hongu.
Saka semurawo wetsika dzedu, Munaku ava mudzimai wenyu nokudaro
mava kufanirwa kubvisa fuma kuna baba vake. Baba vake tataura navo
vakati ivo havana chekupokana nazvo. Asi tazoona isusu zvakare kuti
pamurawo wedu netsika dzedu, hamaifanirwa kuroora nenzira yakadai.
Mambo kana achinge agara pachigaro ari jaya anoroora nenzira yetsika
dzedu yakanaka. Zvakadaro, tavakuda kuti tikuonesei kuti munenge
musisina mvumo yekugara pachigaro chamugere dzamara svikiro
rataura. Isu hatiiti mapitse nesvikiro asi patsika dzedu parizvino ndine
urombo, mambomira kunge muchikwanisa kunge mugere pachigaro
chenyu Ishe wangu.”
Taiziveyi akaita kunge arohwa chibhakera chematsenganzungu.
Akadzungudza musoro ndokurereka zheve dzake kwaibva mashoko
sekuti akanga asina kunzwa.
“handizivi kana musina kunzwisisa changamire?”
“Ndazvinzwa,” akadaro Taiziveyi achitura befu. “Saka ini handibvumidzwe
kutaura divi rangu renyaya?”
“hazvichabatsiri chiro changamire nokuti, kana musikana atoziva
magudza enyu, atova mukadzi wenyu. Ndine urombo, murairo, handini.”
“Zvakanaka, hazvina kuipa, saka ndotobva pano izvezvi?” akabvunza
Taiziveyi. Akanga avhiringika musoro.
“Hongu, munobva, mosiya makazendamisa tsvimbo uye mobvisa dehwe
rengwe morogadzika zvakanaka pachigaro chenyu. Kana madaro,
mochinogara nechekumapeto uko, chigaro chenyu chichagara chakadayi
kusvika svikiro rataura. Ndapedza.”
Madzimai akaridza mhururu, asi vane kusuwa kukuru mumoyo. Taiziveyi
akaita zvaakanga audzwa vanhu vakati nde-e. Haurungwi aiita kunge
achasvetuka nemufaro. Vana Honzeri vaiva nechekure vaifarawo
nechemumoyo nekuti havaida kurarama upenyu pasi poushe hwemunhu
wavakambodzvinyirira. Vakamuseka nechemumoyo. Dare richingopera,
Taiziveyi akatorwa ndokuiswa pasi pavarindi nekuti makurukota aitya kuti
anogona kuronga hondo vakaurawa. Haurungwi akabva atora vamwe
varume vachibva vayenda kunotora pfuti dzose ndokudziviga pavaiziva
ivo. Varume vaya vakabva vanzi vachapuwa mumwe nemumwe mombe
gumi, munda wakakura pamwe chete nemukadzi wavanenge vada.
Taiziveyi ava muusungwa kudaro, Mambo Muturiki hapana chavaiziva,
mombe dzana Honzeri dzakanga dzatova pedyo nekunaNyazvidzi
dzichitinhwa kuuya kuvaHera. Munakuwo akashamisika nezvakaitika
kuna Taiziveyi nekuti iye aida kuroorwa namambo. Ichi chakanga chava
chiizve? Kana ari Varaidzo ainge asingachagoni nekubitirirwa nehasha.
Akaita kunge acharova Munaku nembama paakasangana naye.
Vakadzvokorana neziso raitaura. Varaidzo akabva ati, “Uri kureva nhema.
Taiziveyi haiiti zvinhu zvakadaro.”
“Wadzva, waiti uchaita hosi, nhasi ndezvipi? Chero akadzokera pachigaro
ndini ndava mukadzi wake,” akadaro achisvotesa Varaidzo. Varaidzo
akabva ati wakajaidzwa. Akaswedera padyo achibva akwatura Munaku
nembama yekuti mwanasikana akaona nyeredzi. Munaku akambonzwa
kadzungu asi akakasika kupepuka ndokubva abata Varaidzo muhuro
vachibva vaita gumi rakadya vaviri. Vakagotanga kumarana nenzara
vachiumburudzana muvhu imomo. Vanhu pavakazorandutsira, vainge
vamarwa-marwa musana kunge vaimarwa namangoi. Vainge vazara
guruva muviri wese kunge mbongoro dzange dzichiumburuka mumadota.
Varaidzo ainge achine shungu dzake.
“Ndichakubata chete,” akadaro. Vakatorwa nemadzimai echukuru
voyendwa navo.

You might also like