Professional Documents
Culture Documents
CHIRINGIRIRO
Donzvo redzidziso inotevera ndeye kutibatsira kuti tive nekuziva uye kunzwisisa maitiro efungidziro.
Fungidziro panhau iyi irikureva tsika yemaitiro epfungwa ekuona zvinhu kunze zvichienderana
nemanzwiro nekunzwisisa kwemukati Mehana. Tose tinoziva kuti kana tiri mumamiriro epfungwa
asina mufaro,nokudaro panoonekwa sekuti kunze kune kuwanikwa kwezvinhu kusingaperi
zvatinogona kuisa pfungwa dzedu pazviri zvinogona kupa tsanaguro nokuwedzera kusafara kwedu.
Nokuti tinova nekuziva kwehurongwa hwefungidziro, uye nekuva nekuzvimirirra pazviri, tinenge tiri
mugwara rekuyarutsa kana kushwira kwepfungwa.
Dzidziso
Danho Rekutanga
Gara pamberi pechiringiriro, zvichida icho chinoita kuti uone muviri wako wese. Chekutanga funga
kuti chiringiriro chidimbu chegirazi chirikuburitsa mufananidzo wako, mufananidzo uyu 'ungoripo
bedzi'kuburikidza nezvaurikuona muchiringiriro.
Gara kwemaminetsi angaite gumi maziso ako akatsinzinya kana kutarisa pasi, wakazorora
zvinosunungura, iva uno cherechedza zvirikuitika mumuviri mako, mumifungo uye nemuzvimuka-
muka. Ita nguva yekucherechedza zvakanaka nezvakaipa nenzira yakaenzana usinga rerekere kudivi
rimwe chete. Naizvozvo, kana kwapera maminetsi mashoma, apo pfungwa dzave kugadzikana
sekutarisirwa kwadzo, chitarisa mufananidzo wako muchiringiriro. Tanga wazvitarisa muchringiriro,
uchiogorora chero yese mifungo nemanzwiro anouya. Wadaro,isa pfungwa dzako dzese
mukufemera kunze chete , femera kunze mifungo yese, manzwiro nezvimukamuka zvese uchiziisa
pamufananidzo wako uri kubuda muchiringiriro. Inzwa kuti zvishoma nezvishoma urikubiritsa zvese
zvirimauri , uchisunungura zvaurikunzwa zvese, uchizviisa muchiringiriro. Inzwa kuti newewo wave
kuzviisa muchiringiriro. Tendera pfungwa yekunzwa muviri wako wakatembenuka usina kuomarara,
simudza pfungwa yekuva chinhu chiri kunjenjemera chirikuonesera zvese pachena,kuisa muganhu
pakati pako nemifungo.Kwapera maminetsi gumi nemashanu kana makumi maviri, dzosera mauri
zvinhu zvose zvakanaka zvaungasarudze kubva muchiringiriro, uchisiya zvakaipa , chingave chii
chaunonzwa kuti unogona kurarama chisipo.
Gara uchiziva kuti zvese zvauri kuona muchiringiriro ifungidziro yepfungwa dzako.Iva neruzivo
rwekuti isarudzo nekunzwisisa kwako zvinoita kuti udzosere mauri zvinhu zvakarurama uye
zvakanakisa zvaunenge wacherechedza ,Kwapemaminetsi gumi nemashanu kana makumi maviri
ekushanda nefungidziro dzako muchiringiriro, tora maminetsi mashanu kana gumi chete
wakazorodza pfungwa uchirega mifungo ichiuya nekuenda zvakareruka. Enderera mberi nedanho
rekutanga irori kwevhiki rimwe kana kusvikira zvave nyore kuisa zvirimupfungwa dzako
muchiringiriro uye kusvikira wave kunzwa kumwe kugutsikana nenzira isina kuoma mumaitiro. Kana
kugutsikana uku kusina kusvika, zviri nani kusaenderera mberi kudanho repiri rechiitwa.
Danho Repiri
Tanga nenzira imweyo seyedanho rekutanga - kugara chete, wosiya pfungwa dzigadzikane. Zvino,
kana watarisa kuchiratidzira chako, dzidza kushandura uyo waungade kuti anga ari iwe pachezvako
panemunhu wauri kuona muchiringiriro. Chingave chii chaunonzwa mauri, fema izvi nekufemera
kunze kwega kwega mumunhu waunoona ipapo. Angave chero ani waunoona muchiringiriro, unza
yese mifungo nemanzwiro emunhu iyeye mauri pauno femera mukati pege pega. Enderera mberi
uchinjana nenzira iyi, uchiramba wakangwarira zvakakodzera kuti zvese zvauri kusangana nazvo
ifungidziro dzako. Zvakakosha kungoita dzidziso iyi chete pasina kuedza kuongorora, uchigara uri
mukati memuganho wenguva uye nekuzorora pakupedzisira.
Kana uine zvimhingamupini zvihombe uye usiri kukwanisa kupedza ‘Chiringiriro’ nekuda kwekutya
kukuru kana mamwe maitiro akaoma, nokudaro unogona kuenda mberi kunoita ‘Kumutsa Kwaniso
yedu’ tozoenda ‘Kuwedzera Nekushomekesa’ uye zvakare ku ‘Denderedzwa reMuraraungu’. Pane
rimwe danho unogona kuona kuti wagadzirira kuedza ‘Chiringiriro’ zvekare, uye zvadaro unogona
kufambira mberi nedzidziso imwe neimwe dzinechekuita ne fungidziro.
Nguva:
Danho1 : mamineti gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri kamwe kana kaviri zuva roga roga,
vhiki rimwe zvichienda mberi.
Danho 2: maminetsi gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri zuva roga roga kwemavhiki matatu
kana mana.
Mubvunzo: Rinpoche. Patanga tichiita danho rekutanga redzidziso, ndakwanisa kuburitsa manzwiro
akawanda emarwadzo kubva mumuviri wangu kuenda muchiringiriro, uye izvi zvava nekubatsira
kukuru. Asi izvi hazvizi here bedzi imwe mhando yema mini-mini enyengedzo?
Rinpoche: Pachokwadi dzidziso yese inogona kunzi mamini-mini enyengedzo, asi dzidziso idzi
dzinopa mukana uye gwara rekufundisa pfungwa. Asiwo dzidziso idzi hadzibvise marwadzo ne
kutambura kwemunhu chaizvoizvo – haina kubatsira kuzere mumaonero aya -asi zvakadaro
panogona kuve nekubatsirika munguva pfupi.
Mubvunzo: Ndanga ndifunga kuti dzidziso yechiringiro ingaonekwa here se chidzidzo munezvenguva
pfupi. Ndiri kureva kuti ndingafunge nezvayo nenzira iyi here? Kana kuti ndongoramba ndakasimbira
mukufambisa manzwiro kubva kwandiri kuenda kuchiringiriro nekudzokazve?
Rinpoche: Unogona kutarisa chiratidzwa wochiona sechiripachena uye sechisiri chinogara kwenguva
refu uye owedzera uchiisa izvi kune chinhu chese chauri kuona. Izvi zvakanaka, muenzaniso une
basa. Kana kuti unogona kungoushandisa kwenguva pfupi kubvisa kusungikana chete, kuti uunze
matambudziko ako emukati kunze. Izvi zvine basa zvekare. Zviri kwauri kuti unozvishandisa sei.
Mubvunzo: Kana ndikasiya ruzivo rwezvandinosangana nazvo zvinopikisa uye zvine huipi
muchiringiriro, izvi hazvisi zvine kauchapa here? Ndinoreva kuti handifanire here kusichenesa
chiringiriro mupfungwa pasati pawana mumwe ano chishandisa?
Rinpoche: Kwete, handifunge kuti zvakakodzera. Chiringiriro hachinzwe kurwadza, kutambudzika
kana kukuchengeta zvinhu. Pfungwa ndeye kubvisa kurwadziwa nekutambudzika kweumwe,
kuzviburitsa zvaari pachezvake zvishoma. Zvakafanana nekomichi yesvutugadzike - kana yakazarisa
haungoni kuibata usina kurasa imwe, unotodira imwe pamwe. Zvakafananawo nemanzwiso
emumwe - unofanira kuzviburitsa pachazvishoma. Chiringiriro chine basa pane izvi.
Mubvunzo: Mudanho repiri redzidziso, zvandakaona muchiringiriro zvakaita kuti ndisafare kwazvo.
Zvino, pandakazviisa mandiri ndakatonzwa kusafara kwakanyanya. Chinhu chimwe chete
chakandibatsira kuzviyeuchidza pachangu kuti chero api manzwiro angu kana zviratidzwa hapana
chakasimba. Iyi ndiyo here nzira kwayo yekuzviona izvi, inzira inobvumirwa kupedza matambudziko?
Rinpoche: Hongu. Kana ukatarisa muchiringiriro zvakakosha kucherechedza kuti zvauri kuona
hazvina kana kusimba. Saka nyangwe kuve nemufaro kana manzwiro ekutswamwa aka simuka pakati
pekudzidza, hauone zvese sezvine basa zvakanyanya. Sezvo pazviri pasina chakasimba, hauise
kukosha kwakanyanya pamanzwiro iwayo.