You are on page 1of 3

6.

CHIRINGIRIRO
Donzvo redzidziso inotevera ndeye kutibatsira kuti tive nekuziva uye kunzwisisa maitiro efungidziro.
Fungidziro panhau iyi irikureva tsika yemaitiro epfungwa ekuona zvinhu kunze zvichienderana
nemanzwiro nekunzwisisa kwemukati Mehana. Tose tinoziva kuti kana tiri mumamiriro epfungwa
asina mufaro,nokudaro panoonekwa sekuti kunze kune kuwanikwa kwezvinhu kusingaperi
zvatinogona kuisa pfungwa dzedu pazviri zvinogona kupa tsanaguro nokuwedzera kusafara kwedu.
Nokuti tinova nekuziva kwehurongwa hwefungidziro, uye nekuva nekuzvimirirra pazviri, tinenge tiri
mugwara rekuyarutsa kana kushwira kwepfungwa.

Zvisinei, kushaya kwedu chengedzo pamusoro pezvekufungidzira kunounza njodzi nematambudziko.


Tinoona zvakaipa mumhuri nevatinowadzana navo, asi toramba raramo yazvo matiri. Tinotadza
kuona kuti zvinhu zvatinonyanya kuramba matiri ndizvo zvatino fungidzira kune vamwe, uye kune
izvo zvinoita kuti tiite nemaitiro ane manzwiro emupfungwa akaipa kwazvo. Mupfungwa dzedu
tinogonazve kuona kuita kwakanaka kurimatiri tichikuisa kune vamwe vanhu, tisingashuwire kutora
kodzero yekukurudzira, kurera nekuzviita zvedu pachezvedu, tichisarudza kuona vamwe
se‘vakanaka’ asi pachezvedu toita setisina tariro uye ‘takaipa’.

Chiitwa che‘Chiringiriro’ chinotifundisa kuti tinogona kushanda nezvatinonzwa matiri—


takachenjerera kusaisa zvatiri kunzwa izvi muchiringiriro. Mudanho rekutanga tinogona kuona
nokusiya zvimwe zvisingabatsire, tichichengeta uye tichivandudza izvo zvinobatsira. Mudanho repiri
re‘chiringiriro’ tinoona kuti fungidziro yedu inodzoka sei kwatiri, ichibata panezvese zvatiri
kusanganidzana nazvo kusvikira panguva yatinozogona kuona mamiriro ezvinhu sezvaari chaizvo.
Zvakakosha kuti chiitwa ichi chiitwe muzvikamu zvipfupi chete - kwemaminetsi angange gumi
nemashanu kana kuti makumi maviri kamwechete kana kaviri pazuva. Zvakadaro,unosungirwa
kutora maminetsi mashanu kana gumi pakutanga nepanoppera chikamu chimwe nechimwe uchiita
chiitwa chekuzorora kunosunungura.

The Exercises tcb

Dzidziso

Tora maminetsi mashanu zvichikwira ‘kuongorora nekugadzirisa mamiriro ezvinhu’ Zviwanire


pachako nzvimbo yakasunguka yekugara musana wako wakatwasuka. Terera nzvimbo
yakakukomberedza, nzvimbo yauri, ova nekungwarira kwemanzwiro emuviri paunenge wakazorora
pasi. Iva unoterera mweya paunobuda nokupinda mukati memuviri paunofema - ita dzidziso
yekufema kunozorodza kana zvakakodzera uye wotanga dzidziso.

Danho Rekutanga

Gara pamberi pechiringiriro, zvichida icho chinoita kuti uone muviri wako wese. Chekutanga funga
kuti chiringiriro chidimbu chegirazi chirikuburitsa mufananidzo wako, mufananidzo uyu 'ungoripo
bedzi'kuburikidza nezvaurikuona muchiringiriro.

Gara kwemaminetsi angaite gumi maziso ako akatsinzinya kana kutarisa pasi, wakazorora
zvinosunungura, iva uno cherechedza zvirikuitika mumuviri mako, mumifungo uye nemuzvimuka-
muka. Ita nguva yekucherechedza zvakanaka nezvakaipa nenzira yakaenzana usinga rerekere kudivi
rimwe chete. Naizvozvo, kana kwapera maminetsi mashoma, apo pfungwa dzave kugadzikana
sekutarisirwa kwadzo, chitarisa mufananidzo wako muchiringiriro. Tanga wazvitarisa muchringiriro,
uchiogorora chero yese mifungo nemanzwiro anouya. Wadaro,isa pfungwa dzako dzese
mukufemera kunze chete , femera kunze mifungo yese, manzwiro nezvimukamuka zvese uchiziisa
pamufananidzo wako uri kubuda muchiringiriro. Inzwa kuti zvishoma nezvishoma urikubiritsa zvese
zvirimauri , uchisunungura zvaurikunzwa zvese, uchizviisa muchiringiriro. Inzwa kuti newewo wave
kuzviisa muchiringiriro. Tendera pfungwa yekunzwa muviri wako wakatembenuka usina kuomarara,
simudza pfungwa yekuva chinhu chiri kunjenjemera chirikuonesera zvese pachena,kuisa muganhu
pakati pako nemifungo.Kwapera maminetsi gumi nemashanu kana makumi maviri, dzosera mauri
zvinhu zvose zvakanaka zvaungasarudze kubva muchiringiriro, uchisiya zvakaipa , chingave chii
chaunonzwa kuti unogona kurarama chisipo.

Gara uchiziva kuti zvese zvauri kuona muchiringiriro ifungidziro yepfungwa dzako.Iva neruzivo
rwekuti isarudzo nekunzwisisa kwako zvinoita kuti udzosere mauri zvinhu zvakarurama uye
zvakanakisa zvaunenge wacherechedza ,Kwapemaminetsi gumi nemashanu kana makumi maviri
ekushanda nefungidziro dzako muchiringiriro, tora maminetsi mashanu kana gumi chete
wakazorodza pfungwa uchirega mifungo ichiuya nekuenda zvakareruka. Enderera mberi nedanho
rekutanga irori kwevhiki rimwe kana kusvikira zvave nyore kuisa zvirimupfungwa dzako
muchiringiriro uye kusvikira wave kunzwa kumwe kugutsikana nenzira isina kuoma mumaitiro. Kana
kugutsikana uku kusina kusvika, zviri nani kusaenderera mberi kudanho repiri rechiitwa.

Danho Repiri

Tanga nenzira imweyo seyedanho rekutanga - kugara chete, wosiya pfungwa dzigadzikane. Zvino,
kana watarisa kuchiratidzira chako, dzidza kushandura uyo waungade kuti anga ari iwe pachezvako
panemunhu wauri kuona muchiringiriro. Chingave chii chaunonzwa mauri, fema izvi nekufemera
kunze kwega kwega mumunhu waunoona ipapo. Angave chero ani waunoona muchiringiriro, unza
yese mifungo nemanzwiro emunhu iyeye mauri pauno femera mukati pege pega. Enderera mberi
uchinjana nenzira iyi, uchiramba wakangwarira zvakakodzera kuti zvese zvauri kusangana nazvo
ifungidziro dzako. Zvakakosha kungoita dzidziso iyi chete pasina kuedza kuongorora, uchigara uri
mukati memuganho wenguva uye nekuzorora pakupedzisira.

‘Chiringiriro’ chakakosha pakutivhura pakusvika pamavambo echokwadi eruzivo rwedu pachezvedu


neevamwe. Dzidziso zhinji dzinotevera dzinosanganisira kuchinjana nemifanananidzo yefungidziro
dzeshamwari, vehukama vemhuri, vavengi zvichingadaro. Idzi dzidziso hadzizova nekushanda
kwazvo kusvikira tanzwisisa zvakadzama uye zvakanaka zvatinoreva ne ‘fungidziro dzedu’.Saka,
dzidziso dze‘Chiringiriro’ hadzifanirwe kusvetukwa neavo vari kushuvira kuenda mberi nefundo.

Kana uine zvimhingamupini zvihombe uye usiri kukwanisa kupedza ‘Chiringiriro’ nekuda kwekutya
kukuru kana mamwe maitiro akaoma, nokudaro unogona kuenda mberi kunoita ‘Kumutsa Kwaniso
yedu’ tozoenda ‘Kuwedzera Nekushomekesa’ uye zvakare ku ‘Denderedzwa reMuraraungu’. Pane
rimwe danho unogona kuona kuti wagadzirira kuedza ‘Chiringiriro’ zvekare, uye zvadaro unogona
kufambira mberi nedzidziso imwe neimwe dzinechekuita ne fungidziro.

Nguva:
Danho1 : mamineti gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri kamwe kana kaviri zuva roga roga,
vhiki rimwe zvichienda mberi.
Danho 2: maminetsi gumi nemashanu kusvika kumakumi maviri zuva roga roga kwemavhiki matatu
kana mana.

Mubvunzo: Rinpoche. Patanga tichiita danho rekutanga redzidziso, ndakwanisa kuburitsa manzwiro
akawanda emarwadzo kubva mumuviri wangu kuenda muchiringiriro, uye izvi zvava nekubatsira
kukuru. Asi izvi hazvizi here bedzi imwe mhando yema mini-mini enyengedzo?
Rinpoche: Pachokwadi dzidziso yese inogona kunzi mamini-mini enyengedzo, asi dzidziso idzi
dzinopa mukana uye gwara rekufundisa pfungwa. Asiwo dzidziso idzi hadzibvise marwadzo ne
kutambura kwemunhu chaizvoizvo – haina kubatsira kuzere mumaonero aya -asi zvakadaro
panogona kuve nekubatsirika munguva pfupi.

Mubvunzo: Ndanga ndifunga kuti dzidziso yechiringiro ingaonekwa here se chidzidzo munezvenguva
pfupi. Ndiri kureva kuti ndingafunge nezvayo nenzira iyi here? Kana kuti ndongoramba ndakasimbira
mukufambisa manzwiro kubva kwandiri kuenda kuchiringiriro nekudzokazve?
Rinpoche: Unogona kutarisa chiratidzwa wochiona sechiripachena uye sechisiri chinogara kwenguva
refu uye owedzera uchiisa izvi kune chinhu chese chauri kuona. Izvi zvakanaka, muenzaniso une
basa. Kana kuti unogona kungoushandisa kwenguva pfupi kubvisa kusungikana chete, kuti uunze
matambudziko ako emukati kunze. Izvi zvine basa zvekare. Zviri kwauri kuti unozvishandisa sei.

Mubvunzo: Kana ndikasiya ruzivo rwezvandinosangana nazvo zvinopikisa uye zvine huipi
muchiringiriro, izvi hazvisi zvine kauchapa here? Ndinoreva kuti handifanire here kusichenesa
chiringiriro mupfungwa pasati pawana mumwe ano chishandisa?
Rinpoche: Kwete, handifunge kuti zvakakodzera. Chiringiriro hachinzwe kurwadza, kutambudzika
kana kukuchengeta zvinhu. Pfungwa ndeye kubvisa kurwadziwa nekutambudzika kweumwe,
kuzviburitsa zvaari pachezvake zvishoma. Zvakafanana nekomichi yesvutugadzike - kana yakazarisa
haungoni kuibata usina kurasa imwe, unotodira imwe pamwe. Zvakafananawo nemanzwiso
emumwe - unofanira kuzviburitsa pachazvishoma. Chiringiriro chine basa pane izvi.

Mubvunzo: Mudanho repiri redzidziso, zvandakaona muchiringiriro zvakaita kuti ndisafare kwazvo.
Zvino, pandakazviisa mandiri ndakatonzwa kusafara kwakanyanya. Chinhu chimwe chete
chakandibatsira kuzviyeuchidza pachangu kuti chero api manzwiro angu kana zviratidzwa hapana
chakasimba. Iyi ndiyo here nzira kwayo yekuzviona izvi, inzira inobvumirwa kupedza matambudziko?
Rinpoche: Hongu. Kana ukatarisa muchiringiriro zvakakosha kucherechedza kuti zvauri kuona
hazvina kana kusimba. Saka nyangwe kuve nemufaro kana manzwiro ekutswamwa aka simuka pakati
pekudzidza, hauone zvese sezvine basa zvakanyanya. Sezvo pazviri pasina chakasimba, hauise
kukosha kwakanyanya pamanzwiro iwayo.

Mubvunzo: Ko kana ndikaona muono wezvenhu zvinokatyamadza apo pandinotarira muchiringiriro?


Rinpoche: Kuzviona pachako munzira ino katyamdza yakadzimaidzwa hachisiricho chinangwa
chedzidziso ino. Kana kwapera kanguva, uku kunosiyana pamunhu nemunhu, zvidzimaidzo
zvemuono zvinogona kusimuka - kana izvi zvaitika zorodza maziso chete, zorora, otangazve. Pane
zviitiko zvemuviri zvinoitika kuburikidza nekushanda kwaka nyanya kwemaziso. Usanetsekane
nezvazvo. Chinangwa chedzidziso ndechekuzviona pachako zvakanyatsojeka sezvauri chaizvo - kwete
kupinda mune zviratidzo zvemuono zvinokatyamadza. Zvakaramba zvichiitika, unogona kuedza kuita
zvikamu izvi kwenguva shoma.

Mubvunzo: Ko kana waona kuti unogona kunzwisisa fungidziro nehungwaru wepamusoro


mupfungwa asi haugone kuzvishandisa iwe pachako?
Rinpoche: Zvirinyore, ungofanira kuendera mberi ozvishandisa pachezvako chete, chero neipi nzira
yaunogona nayo.

You might also like