You are on page 1of 1084

TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

I WAS YOUNG AND INNOCENT

Story by TETE MANJEX


Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

+27 79 808 7807

This book is a property of Tete MANJEX


novels and the author reserves all rights
of reproducing, rewriting, printing,
copying in any way, electronically or
mechanical without the prior written
permission from the author.

©TETE MANJEX novels 2023


All rights reserved.

[PDF by THE ALPHA +263 77 466 4973]

C H A P T E R O N E
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Sisi Rurue mukai muone shura remota


dziri kupinda kwabamkuru , haa idzi
chero dzapresident Chamisa dzinosara
pasi , vakomanaka! " akadaro Bertha
munin'ina wangu akamira pamusiwo
akatarisa panze . Mataurira aakaita
akaita kuti ndive nechidokwadokwa
chekuda kunoona but ndaive ndisingadi
kuti azogara achiti ndinoda zvinhu . Izvo
ndaizvidawo hangu zvinhu zvacho nekuti
ipapa ndaive ndakaura zvangu
necuriosity yekuda kuona shura remota
dzacho dzaitaurwa.

"Ndakakuti chii iwe nenhau yako iyoyo


yekugara uchiti president Chamisa ?
Unoreva kuti hauzivi kuti president
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wenyika ino ndiani here kana kuti


urikuzviitisa ? Ndakabvunza ndichimuka
pasi pandaive ndakarara ndokubva
ndazamura ndokusimuka ndichienda
kumusiwo kwaaive akamira.

"Awu sorry kutokanganwa hangu ,


kungoti dzoro rangu rakangozara zita
raChamisa sezvo mapepa ake akangozara
pose pose munzira" akapindura
achizhinya akanditarisa ndichibva
ndaridza tsamwa ndokuti "Dzirikupi
mota dzacho ?" Ndakabvunza
ndichidongorera achibva ati " hadzina
hadzo kuwanda dzingori mbiri chete,
ndanga ndichingoitira
kuti mukasike kumuka , kuti vangadaro
vari vanhu vaya here veHarare vairehwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kuti varikuda mukadzi anonoripa


ngozi ?"

Akabvunza hana yangu ichibva


yangorova kamwe chete . Ndaida
kumutuka chaiko nekuda
kwekundimutsa kwaaive aita
achindinyepera asi chero simba
ndakarishaya .

Mazuva apfuura kune vanhu vaive vauya


vachibva Harare vaine chimwana chaive
chakabudirwa nemudzimu wasekuru
vacho vainzi vakaita zvokuurawa
nababamukuru munguva yehondo
pavaive dzakutsaku . Zvinhu zvenguva
yehondo ndizvo munhu zvaaimukira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ngozi achiti anoda kuripwa nemukadzi


achazonozvara mwana mukomana anova
ndiye achazotumidzwa zita remufi.

Nhau iyi yaitipedza simba tose nekuti


bamkuru pachezvavo vaive vasina
mwana musikana . Musikana aivepo
pamba aive Chido mwana wedangwe
ravo achitova iye ega musikana . Neni
taive takangosiyana negore rimwechete
nekuti ini ndaive ne16 iye ane 15 .

Zvino hameno kuda ndiye wavaizoendesa


nekuti ndiye aitove musikana pamba
pavo. Nana baba vangu vaisangana kuna
baba chete asi madzimai akasiyana nekuti
vaive pabarika .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Isu baba vedu vaive vakashaika ini


muhombe ndine 11 yrs saka pamba taive
tangosara namama chete. Ndofunga
munongozivawo kuti kana breadwinner
yafa pamba chii chinoitika ? Zvokwadi
tainhonga svosve nemuromo .

Shungu dzangu dzaive dzekuti ndidzidze


ndigopasa ndozowanawo basa
ndigowanawo kuchengeta mama
nemasiblings angu . Kuchikoro ndaiona
kwete zvekufungidzira uye chero
zvevakomana ndaisaita. Ndaitoti chero
mukomana akandiridzira muridzo
ndaisacheuka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kuchikoro vakomana vaive vakutoziva


kuti kwandiri its a no go area. Pane
zvakakosha zvandaida kutanga
ndagadzirisa ndisati ndaita zvemjolo .

"Umm handizivi kuti ndidzo here nekuti


zvinonzi vaive vangoti vachadzoka asi
havana kutaura zuva " ndakapindura
Bertha achibva ati " dzinofanira kuva
idzo nekuti umwe angauya nemota mbishi
dzakadaro kwabamkuru ndiani ? Uye
achibvepi ? " I laughed ndichibva ndati
"aaa ko hama neshamwari dzavo dzese
unodziziva here ? Maybe it's one of his
rich friends who knows "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapindura ndave kuwarura machira


pasi pataive takarara . Ndakabva
ndamasimudza ndokuisa seri kwedoor
ndichibva ndave kutanga kutsvaira
mumba .

"Umm hameno , but mwoyo wangu


urikudokwairira kuda kunoona mbinga
yacho yamataura ini sisi Rurue " akadaro
Bertha ziso rake risingabvi ikoko
ndichibva ndati" Berbee ukaita seusina
kukwana ndichakukwatura wanzwa ? Sei
uchida zvinhu kudaro iwe ? Tora
mutsvairo utsvaire mumba uyo "
ndaidaro ndichimukandira mutsvairo
wacho kwakubva atenderedza maziso
zvekusvotwa zviya achiunhonga .
Ndakabva ndabuda ndakunotora
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mutsvairo wepanze ndokubva ndatanga


kutsvaira .

Ndaitsvaira ndichiimba kuri kuda kuedza


kuvhara zvinhu zvaingouya zvakawanda
mupfungwa dzangu.Ndakuzonopedza
ndakabva ndaona Chido achisvika .
Bertha paakangomuona akabva
atomhanya achienda
kunomuchingamidza . Haaa bodo mwana
wamai vangu aida zvinhu veduwe .
Ndakaziva zvangu kuti aive akutobvunza
kuti vaive vanani vaive vauya kumba
kwavo ?.

"Saka wakutoenda kunoripa ngozi ?"


Ndakamunzwa achidaro nevoice raive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pamusoro Bertha . This time around hana


yangu yakarova zvekuti ndakatonzwa
ndichipera simba ndokutombopfugama
pasi . Ndaive ndakunzwa kunge
ndirikuda kuita manyoka here kana
kuti ? Haaa zvandaive ndonzwa chaizvo
ndaive ndakusazvinzwisisa .

"Sisi Rurue Chido atumwa hanzi muuye


kwabamkuru izvozvi " akadaro Bertha
ndokubva ndaedzesera kusimuka
ndokumira netsoka ndichibva ndati "
hanzi kwakanaka here Chido ?
Ndimaiguru here varikuda kuti
ndizobatsirawo kubikira vayenzi ?"
Ndakabvunza with a trembling voice
ndokubva Chido asimudza mapendekete
ake kuratidza kuti aive asingaziviwo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapedzisa kadimbu kaive kasara


kutsvairwa kwakubva ndapinda mumba
ndokudira mvura yaive yaiswa pamoto
naBertha ndichibva ndabuda ndakuenda
padombo rataishandisa kukweshera
man'a ndichibva ndanogeza makumbo
angu ipapo .

Ko zvaizoda here kuenda kuvayenzi


vekuchirungu neshena . Chero munhu
uchitambura asi mvura haitengeswi geza .
Kwete Kuti woti nhamo woti tsvina
zvakare pamunhu hwani .

Ndichipedza ndakabva ndapfeka skirt


yangu yechikoro yenavy blue inova ndiyo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaitove nani pamaskirts achona ese


ndichibva ndapfeka nechitop cheblack
nemaslippers angu ndokukama musoro
ndichibva ndamhanya ndakuenda
kwandaive ndasheedzwa . Ndaitomhanya
chaiko nekuti ndaitya zvangu kunorohwa
mberi kwevayenzi nabamkuru kuchinzi
ndanonoka , ko munhu wacho aive asina
mangwanaka .

Ndichisvika ndakananga kuimba


yekubikira kwaive namaiguru nekuti
ndakaziva Kuti hapana zvimwe
zvandaizombosheedzerwa kunze
kwekunobatsirana naChido kuchera
mvura vanhu vakuru vachibika.
Ndichipinda ndakatoshamisika kuwana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mama varimo ivo vaive vamukira vachiti


vainocheka uswa .

Chakanyanya kundishamisa maziso avo


aive akazvimba zvose nekutsvuka
kuratidza kuti munhu ambochema .
Semwana anga akarangwa akanzwa
handina hangu kubvunza ndichibva
ndangopfugama ndokukwazisa vose
vaivemo ndichibva ndagara pasi .

"Vana baba vako ndivo vakusheedza


mumba hombe mune vayenzi umo
Ruvimbo " vakadaro maiguru ndichibva
ndatarisa Kuna mama ivo vachibva
vakasika kutaridza chiso Chavo pasi
ndokubva ndasimuka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ngatitoendawo tese mainini zvinhu


zvacho zvinoitwa munhu wese aripo "
ndakavanzwa vachidaro maiguru.
Ndakatoshaya kuti zvinhu zveyi zvainzi
zvinoda kunoitwa vanhu vose varipo ini .
Ndakabva ndavamirira kuti ivo
vatungamire mberi ini ndichitevera
kumashure .

Ndichipinda pamusiwo
ndakagamuchirwa nemweya wainhuwira
zvekuti zvaisamboda kuudzwa kuti vanhu
vaive mumba umu vaishandisa
zvakakwana pakugeza nepakuzora .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapfugama ndichibva ndatanga


kukwazisa varume vaive vagere divi
rekubhenji vaiti varume vaviri vahombe
kozoitazve vaviri vakomana vechidiki .
Vose ndaikwazisa ndichifamba nemabvi .
Ndasvika pavakomana pane umwe
akabva andikwenya mukati meruoko
ndokutsonya ziso ndichibva ndaita kunge
ndicharutsa nekusvotwa. Zvikati
zvevakomana ndaizvivenga nemwoyo
wangu wese . Umwe mukomana haana
kumbosimudza chiso, akangoramba
akatsikitsira . Chero chiso chake
chaisatombonyatsoonekwa nekuda
kwekutsikitsira kwaaive akaita . But
atleast ndakafarira hangu hunhu hwake
hwekuzvideredza semuyenzi , kwete
rimwe benzi rekungwaranganduka iro .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hameno kuti akamuudza kuti vasikana


vekuruzevha mabharanzi ekuti
ukangokwenya ruoko nekutsonya ziso
vanotodyira ndiani ? Nxaa atende kuve
muyenzi otherwise dai ndakamuisa
panzvimbo yake .

Ndakanokwazisa madzimai echikuru


aingovawo maviri zvakare ndichibva
ndazogara pasi ndokwazisa vana
bamkuru.

Mumba makamboita runyararo zvishoma


bamkuru vachibva vazogadzirisa pahuro
pavo ndokuti " ndiye musikana
wamuchaenda naye kuti anoripa ngozi
uyu . Kana anenge anoita mwana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

arikudiwa wacho mozongotora mwana


wacho iye modzosa henyu sezvo anenge
apedza basa "

Ndakavhundutswa nemashoko aya hama


dzangu zvekuti ndakambonyarara kuti zii
kuita kunge munhu asisakwanisi
kutaura . Ipapo ipapo ndakabva
ndangonzwa musoro seunotenderera
dzungu ndiye tiba ndichibva
ndangodonha ndiye zii ndakadaro .
End of chapter 1.
C H A P T E R T W O

Ndichimuka ndakawana ndakatota


muviri wese ndichibva ndaziva kuti
ndaive ndafainta ndikadirwa mvura .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatanga kuringa ringa apo


pandakachizobva ndachirangarira zvino
zvaive zvaitika kusvika ndizofainta .

Ndakabva ndaimbongomora mhere .


Haaa munyika umu mune vanhu vane
mweya hama dzangu . Handina kuziva
kuti bamkuru vaizosarudza ini kuti
ndinoripa ngozi yemhosva dzavo
dzavakapara voga . Chokwadi isu
taingozvitamburirawo kudaro ndipo
munhu poowedzera nhamo pamusoro
peimwe . Ko inga Chido muzukuru wavo
aingovepo wani wandaingove muhombe
kwaari nemwedzi mishomanana .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatarisa kuna mama ndikaona navo


vachipukuta misodzi uye maziso avo aive
azvimba kuratidza Kuti vaive vanguva
vachema . Ndizvo zvandaigara
ndichivaudza mazuva ese izvi Kuti endai
kumusha kwenyu munokumbira stand
muvake wenyu musha tigonogara tese
ikoko asi vairamba vachiti baba venyu
vakanditi ndisabve pamusha .

Idzo nhau dzekunyanya kuda kuteerera


munhu arikuzvifira kare ndidzo dzakaipa
stereki . Iyezvino tarisai muone padzaive
dzazotipinza . Bamkuru vakangotora
advantage yekuti tisu taive nherera
dzisina baba vaikwanisa kutimiririra
chete . Otherwise dai daddy varipo
zvisina kumboitika zvese izvi . Kutaura
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chokwadi ndakanzwa bundu pamwoyo .


Nhaimi ndipo pandaizoenda nevanhu
vandisingazivi ndonzi ndinozvara mwana
ndomusiyako ndozodzoka ndoenda
kuchikoro ? Haaa zuva iri ndiro
randakaona Kuti munyika muzere vana
satani umu .

Ndaida kutaura asi ndakatadza nekuda


kwekuti mama vaigara vachitiudza Kuti
hamupinduri kana kupikisa vanhu
vakuru . Mwoyo wangu waive
wakaremerwa . Waive une bundu raive
richirwadza zvekuti chero kufema chaiko
kwaive kwakutondinetsa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvishuwo zvangu zvose zvaive zvaenda


musango . Ndaizviudza Kuti
ndichadzidza ndigonyururawo mai
nevanin'ina vangu munhamo asi zvese
zvaive zvavharwa nevanogona .

"Aiwa hauitiri vayenzi noise munomu .


Where are your manners? Unoda
ndikurikite here muno makazara vanhu?
Usada kundikoniwa iwe . Chashamisa
pakunoita mukadzi wengozi chii ? Ndiwe
watanga nazvo here ? Unotofanira
kutotenda Mwari nekuti hausi
kunogarako zvachose . Vamwe vanonoita
vakadzi vengozi kweupenyu hwese , Plus
urikutsivira mhosva dzambuya vako
vakauya kuzowanikwa nababa vangu
vavaiona Kuti vane mukadzi wavo . Kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

manga makatarisira Kuti kuchaenda


Chido zvino madzva , handina muzukuru
anonoita mukadzi wechipoko ini . Pana
Chido ndakatotarisira muchato chaiwo "

Vakapedzisa vachidaro bamkuru


ndikanzwa sokuti mwoyo wangu wabaiwa
nepfumo . Chero zviso zvevanhu vose
vaive umu kusanganisira vaenzi
ndakaona zvizere kushamisika kukuru
kwazvo . Kunyangwe umwe wevakomana
uya wekuzvininipisa ndakaona nayewo
asimudza chiso ndikaona vatarisana nana
baba vake . Ummm vaive vakanaka
vakomana vacho apo vaifanana kuratidza
Kuti vaive vana vanyamunhu asi uyu
wekunyarara ndiye airatidza Kuti ndiye
muhombe .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanhu hapana kana akati bufu kutaura .


Vaive vagara vaine garudzo bamkuru .
Vaityisa chero vachizvifambira apo
vasina zvavataura . Vaiita kunge munhu
uya akazora mafuta eshumba .

Zvino hameno Kuti ndaizoizonogara


zvakanaka here nevanhu ivava ? Munoti
ndivo vaizondibatawo zvakanaka vakadii
Ivo vakaona ndichingoitwa kunge chinhu
chisina basa nabamkuru.

"Murikuvata here kana Kuti


murikudzokera nhasi ?" Vakabvunza
bamkuru ndokubva baba vechikuru
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaivemo vapindura vachiti " aiwa


tirikudzokera . Tichisvika kuHarare
tirikufanira kusvika tichienda kumusha
kwaChihota , takashaikirwa nemuroora
nezuro achisununguka . Izvozvi
tatofuratira tichisiya chitunha chiri
mumochari "

Bamkuru vakangogutsurira musoro wavo


kwakubva vatarisa kwandiri ndokuti "
simuka unorongedza iwe, uchiri
wakagarira chii ipapo ? Hindaa uchida
kuzviita kunge zungairwa munhu
akangokwana kwana munjere kudaro ?"

Ndisati ndaudzwa amwe magara mwoyo


ndakabva ndatosimuka ndokutanga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kufamba ndichibuda . Pasina nguva


ndakabva ndaona mama vabuda
vakuteverawo . Tave munzira kuenda
kumba kwedu ndipo pandakachizochema
manje .

"Tadii tatiza taenda kwana Sekuru


mama ? Chokwadi matoshinga here Kuti
ndinoitwa mukadzi wengozi imi muripo ?
Saka moreva here mama Kuti dzidziso
dzese dziya dzamaindipa dzekuti ndisaite
zvevarume ndichengete umhandara
hwangu ndigozohupa kumurume
achandiroora , moreva Kuti maireva Kuti
ndichengetere chipoko humhandara
hwangu here mama ? "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaro ndowedzera kupfikura


vachibva vati " hachisi chipoko chauri
kunopa Rue . Pavakomana vaya hanty
waona umwe akaita muhombe uya anga
anyerere ? Ndiye wacho anzi uchanoita
mwana naye sezvo ari iye ane zita
rasekuru vake ivava vacho varikuda
kuripwa "

Vakadaro ndichibva ndati " chero


zvakadaro mama , Saka zvakanaka here
Kuti nditorererwe umhandara hwangu
nemunhu andisina kumbodanana naye ?
wandisingatoziviwo ? Ko kana nayewo
arikuita zvekumanikidzwa , moda

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndinoshungurudzwa here ? Madii mati


tiende kumapurisa mama tinovasungisa
bamkuru nekuti itori mhosva iyoyi
yekuendesa mwana ari underage Kuti
anoita mwana wekuripa ngozi "

Ndakadaro kwakubva mama vati" aiwa


Rue zvekunovasungisa hazviite
mwanangu . Chero zvekutiza chaiko
tichienda kumusha kwangu hazviiti .
Unoda Kuti vagozondiramwira vana
here ? Tarisa uone iyezvino ndivo
vanotori baba varipo , kana pakazoita
dambudziko pamuri ndinoudza ani ?
Hazvinei hazvo enda mwanangu Mwari
vakakutarisa. Ini ndichiri ndakangobata
mashoko andakasiya ndaudzwa nababa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vako Kuti "Sara uchengete vana,


usaroorwe kana kudzokera kumusha
kwenyu , vana ivava ndivo
vachazokuchengeta mangwana kunyanya
iyeyu Ruvimbo uyu " mashoko aya
ndakamabatisisa mwanangu uye
ndinoziva Kuti nerimwe zuva
zvichanaka . Hongu tinogona kuona
sekuti vakuitira hutsinye but maybe it's a
blessing in disguise who knows"

Vakadaro ndichibva ndatarisa divi


nekusvotwa . Dai vaive vasiri mai vangu
pamwe dai ndakavapindura rough .
Zvisinei hazvo sezvo zvaive zvatoratidza
Kuti Kuna mama kwacho kwandaive
ndakavimba Kuti ndiko kwandichabuda
nako kwaive kwaramba ,
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakazongozviudza Kuti ndaizoenda then


kana ndasvika ikoko ndaizongotsvagawo
nzira dzekutiza nadzo ndisati
ndabhinyiwa ndofamba ndichitsvaga basa
ndishandire Mai vangu .

Iyi pfungwa yakandibata zvine simba


zvekuti ndakabva ndatosvika ndichiwana
simba rekusvika ndichirongedza
vudhende hwangu hwenhumbi ndokubva
ndadziisa mvura ndichibva ndageza
muviri .

Ndichangopedza takabva tatonzwa


kutinhira kwemota panze . Vaive vatouya
kuzonditora . Ndaive ndapfeka skirt
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yeplitted yaive yemaroon apo yaive refu


zvekuti ndaive ndakatoipeta muchiuno .
Ndaive ndatoipiwa namama nekuti ndiyo
yaitoita seiri nani panhumbi dzose . Ivo
vaive vatosara vasisina chekupfeka kana
vachienda kuchechi nekuti ndiyo
yavaingopfeka vachichinjanisa pablouse
chete .

Mutsoka ndakapfeka maslippers . Dai


ndakapfeka bhutsu dzechikoro chero
zvazvo dzaive dzakasaruka but
ndakatoona Kuti zvaive nani
ndidzisiirewo Bertha awane chekuendesa
kuchikoro sezvo aive asinawo .
Aingovewo nemaslippers akaita seangu
ataive tanoitirawo maricho ekusakura
kwaMhizha .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndasimudza chi10kg changu


cherice chandaive ndakaisira nhumbi
dzangu chinova ndicho chandaienda
ndakaisira mabooks kuchikoro ndichibva
ndabuda ndakuenda kumota .
Ndakanyatsoona kusemeswa
kwevakomana vaya vanova ndivo
vandakanzi ndipinde mumota yavo sezvo
imwe yaive yakazara nevanhu vakuru .
Uya mudiki anobva aburuka ndokuuya
achizovhura kumashure apo akasunga
muromo kuratidza kuti aive akabata
setswa . Ndaive ndonyara nekuti
ndakaona ziso rake risingabvi muchiuno
mangu ndofunga aiseka kufuta kwapaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pakaita nekuda kweskirt yandaive


ndakapeta.

Zvisinei ndakapinda hangu ndokugara


ndakabata chisaga changu chenhumbi
achibva avhara door ndokudzokera
kunzvimbo yake .

"Vhura mahwindo Kenny Shaa


ndakubitirwa . Mweya urimuno hausi
kuita, chokwadi kuita kunge chinhu
chakaora kudaro " akadaro mukomana
muhombe uya anova ndiye aidriver
ndichibva ndaziva Kuti kwairehwa ini
kuti ndini ndiri kunhuwa . Kutaura
chokwadi ndakabatikana . Mukomana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

uyu aitoratidza Kuti aive andivenga hake


nekuti chero kunditarisa chaiko airatidza
kusvotwa neni .

Kana ari Kenny wacho akabva


achizoburitsa setswa dziya dzaaive
achimboedza kuvharidzira kwakubva
aputika nekuseka . Ndakarwadziwa
zvekuti ndakazongoona misodzi yorera .
Nhaimi ndiudzei kuti mberi kwandaienda
kwaive kwakamira sei ?

End of chapter 2.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R T H R E E

"Carlton rega kudaro Shaa , tarisa uone


iyezvino wakuchemedza bae " akadaro
uya ainzi Kenny achikuvara nekuseka
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

apo achitovhura mahwindo aaive anzi


avhure . Kutaura chokwadi vaive rough
vakomana ava . Ndakafemedzeka
neshungu mota ichisimuka ndichinzwa
Kuti mwoyo wangu wairerera ropa .

Ndaona kuti ndaingozvinetsa nekuchema


pasina anonyaradza ndakabva
ndakutanga hangu kupukuta misodzi
neseri kweruoko ndakatarisa panze
nepahwindo . Ko ndaive ndotyaka .
Ugoona ndaive ndatodziisawo mvura
inopisa ndikatogezawo muviri wangu
nesipo chero zvazvo yaive green bar asi
isipo . Chero nhumbi dzandaive
ndakapfeka dzaitove dzakatochenawo
chero zvazvo dzaive hombe .
Kwaingovawo kutsvinya havo vakomana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ava but takutaura chokwadi chaicho


ndaisanhuwa .

"Saka unonzani nhai bae ?"akanvunza


Kenny ndichibva ndati "Ruvimbo Dube "
Kenny asati apindura zvakabva zvanzi
naCarlton " Kenny Rega kutaudza
munhu wako ari kunhuwa mumukanwa ,
wambokwesha mazino here iwe ?"
Kutaura chokwadi ndaive ndisina hangu
nokuti ndaishandisa chimuti nekuda
kwekuti ndaisava netooth brush but
mumukanwa maisanhuwa nekuti ndaive
ndamugeza nemvura pandaigeza .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Aiwa handina " ndakapindura


ndarereka musoro padivi ndokubva
Carlton aridza tsamwa ndokuti " Saka
unovhurirei muromo wako iwe uchiziva
Kuti hauna kugeza mazino ? Unoda
kutirutsisa?" Akabvunza zviri harsh
ndichibva ndati " aiwa " ndichipukuta
misodzi yaive yoita nhangemutange
mumatama angu .

"Hausi wave kuzvinyanya here


Carl?"akadaro Kenny ndokubva vatanga
kupindurana mberi ikoko kwavaive
vagere . Kondaive ndichanzwa chinhu
here nekuda kweshungu . Chainyanya
kundirwadza chaive chokuti iyeyu wacho
ainyanya kundiita rough ndiye wacho
wandaive ndanzi ndirikunoita mwana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

naye . Zvakaoma veduwe


ndakangozvisiyawo mumaoko aMwari.

Chinhu chandaive ndakarangwa namai


vangu ndikanzwa kwaive kusapindura
vanhu vakuru rough . Tichisvika
pagrowth point yekwedu Carlton anobva
amisa mota ndokuburuka achibva
anopinda mushop . Anonouya akabata
tooth brush netoothpaste yacho achibva
auya akavhura door rekumashure
ndokuti" buda iwe ukweshe mazino ayo "
nenyadzi dzangu ndakabuda
ndokugamuchira ndichibva ndasvinira
toothpaste yacho ndokubva ndakutanga
kukwesha pakazara vanhu kudaro .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanhu vakauya kuzondiunganira


ndichikwesha mazino ndakarindwa
naCarlton akabata kachigubhu kemvura
mumaoko . Vamwe ndovaibvunza Kuti
ko arikugezeswa mukanwa pamashops
aita sei ?

Vanhu vaingobvunza asi anopindura


ndiye wavakashaya . Mota yaive nana
baba vavo yakapedzisira ikasvika
ndichingokwesha ndichinzi ndinofanira
kusuka nerurimi . Ndakaona vose
vadongorera nepamahwindo vakatarisa
zviso zvavo zvichiratidza kushamisika
kukuru .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Baba vacho vanova ndivo vaityaira


vanobva vaburuka ndokuuya kwataive
vachibva vasvika vachiti " Chii chiri
kuitika Carl ?" Carlton anobva atarisa
kuna baba vake ndokuti " ndamuti
akweshe mazino arikunhuwa
mumukanwa "

"Une Chokwadi here Carlton nezvauri


kuita iwe?, Sei urikuitira mwana uyu
hutsinye hwakadai ? Watadza here
kumutengera zvekushandisa zvacho
wanomisa mota kusina vanhu uko
wamuti akweshere ikoko pane
kunyadzisa mwana pazere vanhu kudai ?
" Vaive vatogumbuka baba vake asi iye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Calton aitoratidza Kuti haana kana


ganda kumeso hake .

" Huya kuno mwanangu unogara


munana mai vako umo" vakadaro baba
vaya ndichibva ndageza mumukanwa
nemvura yaaive andipa , pamwe
nekugeza chiso chaive chakazara misodzi
yekurwadziwa neyekunyadziswa
pavanhu .

Ndakatora plastic rangu renhumbi


ndichibva ndaisa tooth brush
netoothpaste yacho mukati ndokutanga
kufamba ndichitevera baba vaya kumota
kwavo ndichipukuta misodzi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapesana nevamwe baba vaive


vaburuka kumota yana baba vaCarlton
vachitouya kumota yana Carlton .

"Very sorry my baby nezvaitwa


naCarlton . Ugoona haasi munhu ane
hutsinye ufunge hameno kuti Chii
changomubatawo ipapa "vakadaro mai
vacho ndichibva ndangogutsirira
musoro . Ko inzwi raive richabuda here
nebundu raive rakandigara pahuro.

"Inga ndamutaurira wani Kuti


arikungonoita mwana chete otodzoka iye
oroora hake munhu waanoda , hanty Kuti
timhanye mhanye kudai ndiye aigara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achicomplaina Kuti baba vari kumunetsa


kuhope ? Iyezvino takuti zvinhu zvacho
zviitwe zvikasikwe iye ndipo paakakuita
kunge dzisina kunyatsokwana kudai .
Pamwe iye arikurwadziwa zvirinani
pakurwadziwa kuri kuitwa mwana uyu .
Haisi nyore kusiiswa chikoro
uchamanikidzwa kunoita mukadzi
wengozi . Mudiki mwana uyu mai Carl .
Wanyatsozvinzira iwe gwinya ranga rina
baba vaya . Vaunzira mwana uyu
hutsinye chaihwo , arikutodawo comfort
yedu . Zvino kana mwana wako
omushungurudza kudaro ochemera ani ?
Vanhu ivai nemwoyo wekubereka
chokwadi . Ndongonamata Kuti vadzimu
vanoramba iyeyu vati vanoda muzukuru
wemudhara uya waaramba naye achitipa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nherera iyi . Vane mwoyo wenyoka baba


vaya nxaaa "

Vakapedzisa kudaro vachiridza tsamwa


baba vaCarlton . Vairatidza Kuti vose
nemudzimai wavo vane mwoyo
wakanaka . Munzira mose vaive
vakungotaura nezvehutsinye
hwabamkuru . Vairatidza Kuti vaive
vavavenga chaiko .

Chikafu chakanaka chaitengwa munzira


ndichidya . Chokwadi ndakatombonzwa
kurerukirwa nekuti baba namai Carl
vaive nerudo . KuHarare takatozosvika
kwadoka chaiko zvekuti ndaive
ndisisanyatsoona zvakanaka asi pamba

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pekwana Carlton paionekwa kuti paive


pakanaka nekuti sora regreen raionekwa
payard husiku ihwohwo .

Ndaive ndongonamata Kuti pasadaro


paine vamwe vanondivenga kana
kundidzikisira zvakare . Vanhu
vakaburuka kwakubva ini ndaramba
ndigere mumota . Ko ndaive
ndavhiringikazve ndisisazivi Kuti zviri
right nezviri wrong ndezvipi .

"Chiburuka hako dear tasvika"


vakadaro mama ndichibva ndaburuka
nechimuplastic changu chenhumbi . Tave
kuda kunopinda mumba ndidzo nguva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzaipindawo mota yana Carlton but yaive


yakutyairwa naKenny nevamwe baba
vaya vandaive ndatora nzvimbo yavo but
Carlton aive asimo .

" Ko Carl asarepi ?" Vakabvunza baba


vake kwakubva Kenny ati"ati arikurara
kumba kwake anouya mangwana "

"Carlton akuda kufarisa manje .


Kahunhu kaave kuda kundiitira
hakachandifadzi zvachose, ko imi baba
Abby mamuregerei achienda ?"
Vakabvunza ndokubva vaive vanzi baba
Abby vacho vati " Inga munomuziva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wani nharo dzake Carl mukoma. Uya


ndiye baba pavamire nekuti chaati haadi
anenge asingatodi "

Hoo ava vaive Munin'ina wababa


vaCarl ? Kungoti paive pasina
kumbobvira paitwa maintroduction Saka
ndaive ndisingazivi Kuti uyu ndiani uyu
ndiani ?.

"Anoda kuzviitisa Carl " vakadaro baba


vake vachiburitsa foni yavo
muchikwama .Takavasiya panze
vachitaura nefoni isu takupinda mumba .
Ndaitonyara nemaslippers angu
ndichibva ndamasiya pamusiwo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takawana mumba muna mai vechikuru


vairatidza kuti vaibika nekuti vaive
vakatopfeka apron .

Vakatigamuchira zvakanaka ndokubva


ini ndanogara pasi . Iiii bodo nezvandaive
ndakapfeka ndaisambokodzera kugara
mumazisofa akadaro .

"No, no,no my baby usagare pasi. Simuka


ugare pasofa apa mwanangu pasi
panotonhora . Plus hakusati kwaitwa
chikaranga chekuti uziviswe kuvadzimu,
vanogona kukuramba Saka sununguka
hako , Mai Sarah Karen aripi ?"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro vachisheedzera ndokubva mai


vaya vatakawana varimo mumba vati "
Ari kubedroom kwake anga achiverenga"

Vanobva vatanga kumusheedza


vachikwidza upstairs. Munguva pfupi
vaive vadzoka naye .

"Ndiwe unogara uchiti vanhu havadi


kuita ushamwari newe nhasi ndakuvigira
shamwari yezera rako iyi " vakadaro
vachitaura vari kumashure kwedu .
Ndaida kucheuka ndione Karen wacho
asi ndakatya . Ndakabva ndatanga
kunzwa mafootsteps kuratidza kuti
munhu anga akumhanya .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anosvika pandiri ondimbundira hanzi "


my friend" guys ndakabatwa neshungu .
At least zvaive zvave nani . Vamwe vose
vakaratidza kundifarira . " Can l sleep
with my friend in my room mommy "
akadaro arereka musoro ndokubva Mai
vake vagutsurira musoro achibva atanga
kuuruka uruka kuri kufara .

"Saka wafarira shamwari zvekutadza


kana kutionawo here nhai Karen ?"
Vakadaro mama mai Abby vachiseka
ndokubva zvanzi naKaren " aaa sorry
mam a mufaro wacho wawandisa"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

anobva agara pasi ndokuvakwazisa


achibva auya kwandiri ndokundibata
ruoko achibva ati "let's go to my room "

Ndakasimuka nechisaga changu


ndokubva ndatanga kufamba
ndichimutevera . Iii mumba macho
handingamutsananguri hangu asi
chingozivai kuti maive makanaka .

"What's your name ?" She asked


ndichibva ndati " Ruvimbo but you can
just call me Rurue , and you ?"
Ndakangobvunzirawo dara hangu asi
ndaive ndanzwa achisheedzwa kuti
Karen. Akandiudza hake zvese nemakore
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokutoona kuti taive takangoenzana


pamakore zvese nehuslander kungoti iye
aive akatsvuka chete kundidarika .

"Rega ndikande nhumbi dzako mubin


riri mubathroom mangu
ndozopfekedzana newe ndine nhumbi
dzakawanda " akadaro ndichibva
ndangogutsurira musoro. Ndofunga aive
aona mupfekero wacho achibva atoona
kuti dzaive dzisipo . Ndaida kuramba
sezvo ndaive ndauya ndakaplana kuzotiza
asi ndakanyara. Ndakaratidzwa
mubathroom ndokubva ndaratidzwa
nemavhurirwo eshower ndokubva
ndageza .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichipedza ndakapiwa mafuta ekuzora


echirungu naKaren ndichibva ndazora .
Ndapedza ndakapiwa chivharangozi
chitsva pamwe nekadress kaive kakanaka
zvisingaite.
Ndakapfeka kwakubva ndatotanga
kunzwa kunyara kuenda kuvanhu.

"You're so beautiful do you know that ?"


Akadaro achindigadzira gadzira . Aive
nerudo rusingaite kunge vabereki vake
Karen . Zverunako ndaingonzwa hangu
vanhu vachidaro but ini ndaive
ndisingazvione hangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Handei tinodya ndaisirwa massage


namom hanzi dinner is ready " akadaro
ndichibva ndatanga kutevera ndakapfeka
tumasandles twake twaive twakanakisa .
Kutaura idi chairo ndaitonzwa kunyara
kufamba ini .

Tichipinda mukitchen maziso ose akabva


atarisa kwandiri zvekuti ndaive
ndotoshaiwa zvokuita ini .

End of chapter 3.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R F O U R

Nhaimi , makambotambura here


zvekusvika pakuti unojaira nhamo
ikakupinda mumongo zvekuti unotofeela
comfortable kana wakapfeka mamvemwe
ako zvekuti zuva raunonziwo wapfeka
zvakanaka unotonzwa kunyara ? Ndizvo
zvandakanzwa pandaive ndapiwa dress
naKaren nemasandles . Chide nevanhu
vaive vangoti jii maziso avo kwandiri
ndaive ndotodemba kuti dai pasi
pavhurika ndapinda . Kutonyatsonzwa
kuti hazvisi izvo ndashunika shangu apa.
Kunzwa muviri kureruka zvekuti ndaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakutoita kunge ndisina kutopfeka


kwacho .

Ndakaramba ndangomira panzvimbo


imwechete ndoshaiwa zvokuita .
Ndakatozoyamurwa naKaren akati "
nhaimi zvamuchashaisa Ruvimbo step
yekufamba? Mukagomutarisa kuita
sezvinonzi muri kutanga kumuona sei Imi
muri imi mabva naye " akadaro
achinogara pasofa ndokubva vanhu
vangoseka sekawo zviya zvekuvhara
nyadzi Kenny achibva ati " but munoziva
here kuti munyika muno hamuna munhu
akashata ? Mapfekero nenzvimbo
yaunogara ndizvo zvinogona kukuita
kunge munhu akashata asi usina zvako "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Urikuedza kureva kuti kuti Chii apa ?"


Akabvunza Karen ndokubva Kenny ati"
kwanga kuri kungotaurawo kani amana
ko yatove mhosva here ?"

"Siya kutarisa mwana neziso, huya ugare


pedyo neni apa Rue dear " akadaro
achibata paside pake paaida kuti
ndizogara panova ndipo pandakazoti
bengenu ndave kuona kuti ndaive
ndichakangomira . Ndakabva ndatanga
kunanaira ndichinzwa makumbo angu
kupera Simba zvekuti dai kwaive
naKaren kwaive kure zvimwe dai
ndakadonha .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndinosvika ndogara dzinova ndidzo


nguva dzaipindawo Carlton achinja
mbatya achinhuwirira hufresh chaiwo
kuratidza kuti aive ageza . Aive abvisa
formal wear yaaive akapfeka pataibva
kumusha achibva apfeka T.shirt yered
yaive yakanyorwa kuti adidas nemavara
eblack pachifuva nejean trouse reblack
raive rakabvaruka mabvi , cap yered
yaive yakanyorwa adidas zvakare
nemavara matema mutsoka aive
akapfeka matenis maall stars eblack .

Jealous down aive akachena but ini


ndaive ndamuvenga zvisingaite. Anga ari
arrogant zvinobhowa mhani .
Akamhoresa vamwe vese kusara kwangu
chete achibva anogara pacheya sezvo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

masofa ose aive azara . Neniwo


ndakazvinyararirawo ini. Ko kana
ndaizomumhoresa oramba akanyarara
ndaizoita sei ? Kutongogara ndaavoida
kuzvinyadzisa ndakangoona kwakanaka
hangu nekuti chero naye haana
kumbobvira aisa ziso rake kwandiri
kutoita sekuti ndaisatovemo zvangu
mumba macho .

"Ndihwo hunhu rudzii hwawanga uchida


kundiitira ihwohwo Carlton ?"
Vakabvunza baba vake achibva ati "
ndanga ndichiuya dad inga ndakuudzai
kuti ndirikungoogeza chete wani
ndikangooedza ndouya " akapindura
achiratidza kusvotwa kwakubva baba
vake vati " usandiitire attitude Carl
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

handina zera newe wanzwa ?, wanga


uchinogeza kuAvondale kuti pano hapana
mvura ? Yambonyanyokoshei mvura
yekumba kwako ?"

Vakabvunza vachiratidza kuti


vatoshatirwa baba vake ndokubva
munin'ina wavo ati " aiwa chiregai
kudaro mukoma , imi ndimi
makutofanira kuzvidzora semunhu
mukuru . Carl mwana haasati ave
kunzwisisa zvinhu izvi , ndichaedza
kutaura naye ndichimutsanangurira kuti
anzwisise . Unoti dai vasiri vadzimu
vakasarudza kuti chikaranga chacho
chiitwe newe Carl unoti dai
tichimbokunetsa here ? Dai zvaingoitwa
chero nani zvake pamwe dai
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakangovoluntiya anonzwa kuda .


Zvino apa tiri kutaura nhau yengozi .
Ukada kupikidzana nevadzimu
unokuvara boy . Pamwe
urikutongozvinetsa hako nezvinhu zvisipo
ivo vadzimu vachazomuramba ,
ngatimirirei tinzwe kuti sekuru
Hondohwe vachaudzwa kuti Chii nevari
kumhepo "

Vakatozopedzisira votaura naye Carl


wacho baba Abby ivo vaive vati
ndichazotaura naye. Neniwo ndaive
ndongonamata kuti kukasike kwayedza
godobori wacho auye chikaranga chacho
chiitwe tinzwe kuti vadzimu vacho
vachati Chii? But ndaive ndine hope
yekuti vachati ndidzoserwe kunotorwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chido. Mwoyo wangu waive


watodzikama ndakufeela peace within me
zvekuti chero kunyanya kubatikana kuya
ndaive ndisisina .

Ndaida kuti kana zvangonzi ndidzokere


chete ndaitonorarira kubhazi .
Ndaisatomboda zvekuti ndirare zvakare
pamba apa nekuti vadzimu vacho vaigona
kuzongochinja pfungwa zvikanzi
ndichigara .

Carlton haana chaakambopindura kunze


kwekungonyarara achibaya baya foni
yake . Vadzimu vacho kana
vachinyatsoona chaizvo vanofanira kuona
ruvengo ruri mumwoyo memuzukuru

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wavo kwandiri vobva vandiramba havo


nekuti chero dai vaizondibvuma ndaizoita
sendichadzipwa husiku ndirere
naCarlton.

Ungati munhu andiiti ndinonhuwa


mukanwa ndakagara kuback seat what
more tazove tese mugumbeze ?
Aitozorutsazve . Ivo vaitongofanira
kuramba vati tinoda Chido pamwe ndiye
waaizoda plus Chido anga ari light in
complexion kupfuura inini . Ini ndaive
nechocolate skin pamwe ndizvo zvimwe
zvaakanyanya kuvenga . Ko varume
vazhinji vanoda mayellow bornka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakaramba vodiscusser nezvenyaya iya


kusvika vanhu vazosheedzerwa chikafu
kutable . Haaa ini uko ndaisazoenda
zvangu shem . Kwaive naCarlton uko ,
haa bodo zvangu ko kana ndaizoti
ndichishama muromo monhuwa obva
arutsa? . Kutongonyepedzera kuguta
ndiko kwega kwandakatoona
kuchindibatsira ndichibva ndaramba
ndigere vamwe vachienda kutafura.

" Huya ugare apa Rurue " akadaro


Karen achigadzirisa chair yaive padivi
neyake ndichibva ndasimudza meso angu
ndokutarisa kwaive naCarlton ndokubva
ndati " haaa ini chikafu ndakakuguta
don't worry "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Wakaguta wadyei ?"

Vakakasika vabvunza Mai Carl


kwakubva baba vacho vati "she's afraid
of Carlton , hauna kuona achitanga
amutarisa ?"

" Ko ini ndini ndaita sei ?" Akabvunza


Carlton achisimudza chiso chake
kunditarisa for the first time kubva
zvaaive apinda mumba umu achibva
kuAvondale kwacho kwainzi ndiko
kumba kwake . Pamwe aive nemudzimai
ndizvo ainyanya kusvotwa nenhau iyi
nekuti aigozonzi ane kumba kwake ega
chirudzii kusina mukadzi ? But ndaive
ndisina kumbonzwa vachitaura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nezvemudzimai wake kubva chero


zvatakabva kumusha. Hameno ,
ndaizotsvaga hangu mabvunziro
andaizoita Karen .

"Aiwa handisi kuvatya " ndakati rega


ndikasike ndamudefender ndisati
ndawedzera kuvengwa zvangu
pakundivenga kwaanga agara achindiita
already .

"Huya udye dear hapana


zvaanombokuita tiripo " vakadaro mai
vake ndokubva baba vacho vati " he
should get used to her because she's here
to stay . Chero vadzimu vakamuramba
achagara pano achienda kuchikoro ,

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hanty birth certificate rake mapiwa mai


Carl ?" Vakabvunza ndokubva Mai Carl
vagutsurira musoro .

Aive agara achigara kwabamkuru ikoko


mabirth certificates acho nekuti ndivo
vaive vatitoresa nemudzimai wavo
sevabereki vedu nekuti baba vaive
vangotisiya tisina mabirth certificate
nekuda kwekuti mama vaive vasinawo
vachitotambudzikawo kuti variwane .

Aive mwana akangokurawo achirerwa


kumadzisekuru nokuda kwekuti Mai
vavo vaive vangopiwa pamuviri nababa
vavo vachibva varambwa mai
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuzonoroorwa neumwe murume .


Zvino vanhu vacho vaitoita
kudhonzerana chaiko pasina anoda
kuvatoresa somwana wake .

"Good , kana zvaafambira izvi zvinenge


zvaramba muchanomutsvagira nzvimbo
pachikoro panodzidza Karen " vakadaro
ndokubva Karen ascreamer zviya
zvekufara achiuya kuzondimbundira .

Iii haaa bodo ndaisazobvuma ini .


Chandakaramba chaive chokuita kunge
ndaive ndopinda pakati pevanhu
vandakawana vachizvifarira . Ndaifanira
kudzokera kumusha ukama hwemhuri iyi
hwosara hwodzokera pahwaive.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chandaive ndisingade chaive chokuti


Carlton ozotadza kuve achiuya kumba
kwavo achizeza kuti ini ndiriko , aiwa apo
paive pasina kujeka zvachose . Kana
vaive nerudo sokutaura kwavo
vaizongondibhadharira ndichidzidza
kumusha ikoko .

Handina zvangu kuda kupikisa panguva


iyi ndakati ndaizotanga ndamirira
mangwana acho ndonzwa kuti vadzimu
vaizoti Chii then kana vanenge
vandiramba ndozoudza baba Carl
zvandaifunga .

Ndakazosimuka ndoenda naKaren


kutafura uyo aive andinyengetedza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuzobvuma hangu . Raive sadza


nenyama yemombe nemaveggie paside .
Hachina zvacho kundishamisa chikafu
chacho nekuti chero taitambura hedu asi
taiti kana kunenge kwafa mombe muraini
tainotengawo nyama nechibage touya
tobikawo . Maveggie tairimawo kaka
chikafu chacho chaisatomboshamisira
zvachose kwandiri .

Chandaingoedza nepose pandinogona


napo kwaive kudya ndakavhara muromo
kuitira kuti ndisazosemese vanhu .
Tichipedza ndaida kubvisa ndiro kuti
ndinosuka asi mama vakaramba vachiti
ndinozorora sezvo taive tafamba rwendo
rurefu kubva kumusha .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takaoneka vanhu takuenda naKaren


sezvo aive ati TV tichanoiona kuroom
kwake .

"Wokasika kumuka my baby nekuti


sekuru vachakurumidza kuuya kuchiri
kuseni kuitira kuti masikati
tigozokwanisa kuenda kunhamo
kwaChihota "vakadaro mama ndichibva
ndabvuma ndokubva takwidza mastairs
takuenda hedu kubedroom kwaKaren .

End of chapter 4.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R F I V E

*Carlton* .

"Hausi wazvinyanya here paya Carlton?


Tichiri mumota zvanga zvirinani nekuti
panga pasina vanhu . Kana dai wanga
uriwe wakwesheswa mazino patownship
pazere vanhu chero dai anga ari Karen
chaiye anzarwo dai wanzwa sei ? Ndaona
zvangu kuti handingakutsiuri pakazara
vanhu but zvawaita zvakashata "

Akadaro Kenny mushure mekunge


bamnini baba Abby vapinda mumota .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatenderedza maziso angu


zvekusvotwa kwakubva ndati " Saka
wanga uchida Kuti ndigare nemunhu
anga achinhuwa mukanwa here ? Iwe
wanga urikure naye ndiko usina kunzwa
kunhuwa kwake but ini ndakunzwa
nekuti anga ari pedyo . Wanga uchida
Kuti anokweshera kupi uye ambopinda
sei mumota macho achinhuwa ? Hauna
zvawanzwa iwe , munhu uya anga
achinhuwa mumukanwa kunge adya
chidembo "

Ndakadaro ndiri serious izvo zvakaita


kuti ancle William vaseke . I think
zvakabhowa Kenny nekuti akabva aridza
tsamwa ndokuti " why uchinyepa Carl ?
We all know that anga asiri kunhuwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musikana uye . Problem yako ndiyoyo


yekuti you want to play a victim in all this
when you're not . Haana kuuya
nekuzvidira musikana uya
zvawazvionerawo newe . Zuva ranhasi
ndipo pandavenga chinhu chinonzi
hunherera . Dai Mwari vangondichengeta
ndigozofawo vana vangu vose vayaruka
kwete Kuti vana vangu vazonzi pazvose
zvakashata zvinoda kuitwa mumusha
ndivo vanoitiswa nekuti havana baba
varipo vanokwanisa kuvarwira "

Akabva aseka akatarisa mudenga


achiedza kudzosera misodzi mukati
ndokuti " you was supposed to comfort
that poor girl . She's beautiful, well
mannered and humble . You was
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

supposed to hug and tell her that


everything is going to be ok but what did
you do? Wawedzera salt pachironda .
You're just like mudhara uye Carl , l see
no difference between the two of you .
You're both evil "

Akadaro achitarisa panze nepahwindo.


Kutaura Chokwadi ndakarwadziwa
nemashoko aKenneth . How could he say
those nasty words to me ? Me his elder
brother . Kusaidhirana nestranger
achirwisa ini mwana wamai vake ,
kutaura Chokwadi ndakaita hasha .

"Chiiko chinomboshamisira pachimunhu


icho chiye chaungabva watondisimudzira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

voice kuita seunotaura nemwana wako


kudaro ? Ungandiudze huroyi nekuda
kwekuti ndakweshesa munhu mazino
chete ? Haiwa ndezvako izvo enda unofa .
Kana uchimuda tora aite wako chagara
hachisi type yangu chimpanzee chiye"
ndakadaro ndichida kumusvotesawo but
ndini ndakazosvotwa worse ekuti
ndakazoudzwa magara mwoyo .

Akaseka Kenny achibva ati " Saka yako


type ndeipi sezvo tose tichiziva kuti kubva
zvawakave iwe hauna kumbobvira waita
musikana ? Ini ndakadai am 2years
younger than you but ndatoita vasikana
hundred or more , iwe une chero
umwechete zvake here wawakamboita ?
Chero kukambira zvako kuti nhingi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musikana wangu , uchitotadza kutenda


vadzimu vakuitira favour yakakura
kudaro yekukupa mukadzi wausina
kubudira ziya nekuti iwe pachako
haugoni kuzvitaurira , kupfimba chaiko
kunotokunetsa . Zvino ndave
kungonamata Kuti dai vadzimu
vangobvuma havo mangwana kuti kuve
Ini ndinoita chikaranga chacho nekuti
ndiri kutomuda zviri serious mwana uye .
Ndiri kuda Kuti kana ndapedza
kumuitisa mwana ari kudiwa nevadzimu ,
ndobva ndamudzosera kuchikoro mwana
achikurawo . Achipedza form 6 ndipo
pandinobva ndamuitisa Imwe nhumbu
yaachaenda nayo kuVarsity "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva arumirira muromo wake


wepazasi akatarisa mudenga
ndokuendera mberi achiti " ndobva
ndatuma maelders kuzobvisa pfuma
zvose nekusungira, kana nguva
yekusununguka yasvika ndobva
ndazvisunungutsira babie wangu ndega "

Yaa Kenneth anga ari doctor achitove


nesurgery yake mutown . Matauriro
aakazviita aibhowa nekuti aive
nekakusvotesa mukati . Ndakatonzwa
mwoyo kurwadza hameno kuti sei ?

Aitaurawo hake chokwadi Kenny kuti


ndaive ndisina kumbobvira ndakaita
musikana paupenyu hwangu . Vasikana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaindida chaizvo uye vamwe vezera


rangu vaive vatove nemhuri dzavo
nevana vaviri vaviri but ini kana umwe
chete zvake. Vaitomboedza kunditsvagira
mababe ari hot vana Edwell naEvans
shamwari dzangu but Ini ndaibva
ndatongonzwa kusvotwa navo ndosiya .

Ndikauudzai kuti ndichiri virgin


munogona kufunga kuti ndinonyepa .
Shamwari dzangu dzakatomboedza
kundiendesa kune vamwe sekuru vavaiti
vanobatsira kukudza nhengo kuti imire
yakasimba vachifunga kuti ndaive
neproblem vasingatozive kuti ndaitove
nenhengo yangu hombe chaiyo
yaitomirawo just fine but mafeelings
chete ndiwo andaive ndisina . Mashoko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aKenny airwadza chete but aitaura


chokwadi .

Chero kunhuwa chaiko aive asinganhuwe


musikana uye but ndaingoitira kuti
asandijairire chete . Ndaida kuti agare
achinditya asazvipe a false hope yekuti
one day ndaizogona kumuda. Ndaida kuti
angogara achiziva nzvimbo yake
muhupenyu hwangu kuti taigadzira
mwana wekuripa chete nothing more .
Zvino Kenny aive asingazvinzwisisi hake
zvose izvozvo .

Akabva ada kuenderera mberi achiti "


kana vadzoka kunoroora tobva tacha..."

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Shut up mhani Kenneth "


ndakangokaruka ndamudimbudzira
zvehasha . Mashoko ake aindirwadza .
Hameno kuti zvii zvaive zvoitika mandiri
but kutaura kwaaiita Kenny nezvake
ndaisvotwa zvekurevesa.

Ndisina kutarisira vanhu vaive vaputika


nekuseka . Nabamnini baba Abby vaive
vasina kumbobvira vataura chinhu kubva
zvavaive vapinda mumota apa
vakasekawo .

Ndakarwadziwa zvisingaite. Vanhu ava


vaitondiita benzika . Ndakabva ndatanga
kupopota apo ndanyika gumbo mutank
nekugumbuka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Uncle say something, ndoziva kuti


munomuda Carl but takuda kutaura
chokwadi zvaaita paya zvakanaka
here ?" Akabvunza Kenny ndokubva
bamnini vangoseka . Ndaizviziva kuti
vaindida zvisingaite nekuti vaindisheedza
baba vavo sezvo ndiri Ini ndaive nezita
ravo Simbarashe. Iri rekuti Carlton
raisheedzwa pamba pedu chete sezvo
mama vaiti vanoremerwa nekusheedza
zita ravatezvara .

Kuti asarambe achienderera mberi


nekutaura ndakabva ndaisa music
ndokuisa volume mudenga . Ndaive
ndagumbuka zvekuti chero zvatakapinda
muHarare ndakabva ndangonanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kumba kwangu nemota . Uncle naKenny


vaive varara zvekuti pavakazonzwa
ndakuridzira garden boy wangu huta kuti
avhure gedhi vakavhunduka .

Ndaive ndaedza kuvhura neremote


richibva raramba saka ndakabva ndaziva
kuti kwaive kusina magetsi . " Ko
watiunza kuno kuti zviite sei ?"
Akabvunza Kenny achitsukuta maziso
ake neruoko kwakubva ndati "iyo mota
iyo Kenny driver muende kuBorrowdale
Ini ndiri kusara pano pamba pangu "

Ndaitaura ndichitofamba kunopinda


mumba kwakubva angodzungudza
musoro wake ndokupinda mumota asina

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaataura . Vachibuda gedhe ndakabva


ndapinda zvangu mubathroom
ndakugeza . Ndichipedza ndakawana
nhare yangu ichirira ndichibva ndaona
vari dad ndokubva ndadaira .
Ndakatukwa pafon ipapo ndichibva
ndapiwa only 5mins dzekunge ndasvika
kuBorrowdale .

Ndakaridza tsamwa yekusvotwa chaiyo .


Vaive vakutondiita kunge ndave
murandaka . Kungoti daddy ndaivatya
hangu Saka ndaisagona kuvapikisa .
Vairova zvekuti dhemeti . Vaive vasina
kuti uri murume mukuru chero fight
vaikuchovha nayo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakachinja ndokunopinda mumota


ndakuenda . Kwaive netraffic isingaite
zvekuti zvakanditorera nguva kusvika.
Ndaive ndongotyira ivo dad
vekugumbuka zvisina basa . Ndaisvika
ndorohwa zvangu pamba pane vayenzi .

Ndakafara pandakasvika nekuti hapana


zvavakambotaura . I think dzaingove
hasha Chete dzekufunga kuti pamwe
ndatiza nyaya dzangu . Chinhu
chandakangogara ndaavoida kwaive
kutarisa musikana uye kumeso .
Sekutaura kwandamboita kuti handidi
zvinondiswededza kwaari zvekuti chero
pakusangana tichiumba mwana
wevadzimu ndaitoita sendichapfeka mask
inovhara chiso chese asi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakazondimanikidza kusimudza chiso


changu kumutarisa pandakanzwa
zvichinzi arikuramba chikafu nekuti ari
kutya ini.

Ndichinotarisa chiso chake hana yangu


yakabamuka kamwechete zvekuti
ndakabva ndatokasika kutarisa pasi .
Ndakatoshaya kuti asi aive muroyi here
musikana uyu ? Sei ndaive ndarohwa
nehana nekungoona chiso chake Chete .
Apo aive asina kutombonditarisa . Aive
akatsikitsira but zvandakanzwa zvacho
zvaive zvisingaite . Hameno sezvo
zvichinzi vana vekumusha vanotemerwa
nyora dzehuroyi vachiri vadiki pamwe
iyeyu aive akatotemerwawo.
Chandakangotenda nechekuti zvaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekungoita mwana Chete otherwise


handaizombokwanisa kugara nemuroyi
ini ndichiti ndine mukadzi . Ko kana
akamuka akandidzipa ndikafira kuhope ?

Zvisinei ndakazofara vaenda kunorara


naKaren uyo airatidza kuti vaive
vawirirana chose . Hameno kuti aive
asinganzwiwo kutya here kana
akamutarisa nekuti ini ndaitoremerwa .
Vamwe vose vaitoratidza kuti vaive
comfortable naye chaiko kusara kwangu
ndega . Zvisinei ndakanga
ndakungonamatira kuti abvumiwe
nevadzimu Zvinhu zvacho zviitwe zvipere
ndiwanewo freedom yangu . Ndaive
ndatozviudza kuti kana ave nenhumbu
yachona handaizosvika pamba apa nekuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaive ndanzi ndaifanira kurara naye


only 3days chete to make sure kuti
nhumbu yabata then ndozorega hangu .

Zvisinei ndakasiya vamwe vagere


ndakuenda kunorara kuroom kwangu .
Ndakapfuura nepabedroon raKaren
ndikashamisika kunzwa shasha
dzichitoita nyaya dzichiseka .
Ndakamboda kumira kuti nditeerere kuti
kwaitairwa nezvei but ndakazotya
kubatikidzwa kwakubva ndabva zvangu
ndakunopinda muroom mangu .

Ndaive ndakaneta Zvekuti hadzina


kumbonoka kundibata ndokurara
zvekuenda chaiko zvekuti ndakatozoita

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuzomutswa naKenny mangwana


acho kwatoyedza .

Ndakashamisika kunzwa achiti sekuru


Hondohwe vaive vatosvika kuma6am
ikoko. Sekuru Hondohwe vaive n'anga
inova ndiyo yaizotiudza kana vadzimu
vabvuma mukadzi .

Ndakageza nekukasika ndokubva


ndachinja ndokufambisa ndichidzika
downstairs. Mumba maive matozara
nana bamkuru vaive vauya kubva
kumusha . Vaive vatosiya chitunha chisati
chachengetwa vachimhanyira nhau iyoyi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kana zvinenge zvapera taizoenda tese


kunhamo takunochengeta mutumbi.
Ndakakwazisa vanhu vose ndokubva
ndagara pasi . Mumba makaita
runyararo kuita semaive musina vanhu
ndokubva sekuru Hondohwe vazotanga
kuita zvehakata dzavo .

Vanosimudza meso ndokutarisa kwandiri


ndokuita kachinguva Vakadaro
ndokuchinja zvakare votarisa
kumusikana uya wandaive ndakanganwa
Zita rake kuti akati anonzani .

Zvino vanhu vose taive tasimudza zviso


tatarisa Kuna sekuru tichida kunzwa kuti
vadzimu vaive vati chii ? Kana ari

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musikana uya aiita kubvunda zvaionekwa


nemunhu wese . Ndofunga aingonamata
kuti zvinzi vadzimu vamuramba .

End of chapter 5.

C H A P T E R S I X

*Ruvimbo* .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Saka daddy vako ndivo vakauraya


sekuru vedu here Rurue ?" Akabvunza
tichangopinda muroom make Karen
ndichibva ndati " aiwa ndibamkuru
vangu "

"Saka kana vari bamkuru Iwe


urikutsvagei pano ?, Asi Ivo havana
mwana musikana here ?, Saka nababa
vako vatozvibvumawo izvozvo zvekuti
uzoripira mhosva dzausina kupara ?"
Akabvunza achigara pasofa
achindinongedzerawo nechimunwe kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndizogara padivi pake ndichibva


ndanogara ndokuti " it's a long story "

" Make it short " Akadaro ndichibva


ndatoona kuti paive pasina dzimwe nzira
kunze kwekutongomuudza . Munhu
wacho airatidza Kuti haasi kudzokera
Shure .

Ndakamurondedzera zvese uye kuti baba


hatina that's why takatorerwa advantage
achibva aridza tsamwa ndokuti " vamwe
vanhu vane hutsinye veduwe . I so wish
kuti vadzimu vakurambe mangwana vati
vanoda muzukuru wababa ivavo
vakapara mhosva vagokaura . Seiko
vamwe vanhu vane hutsinye kudaro ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Saka vakaona kuti zvirinani vauraire Iwe


upenyu hwemuzukuru wavo huchifamba
negwara ? Nxaa he's so evil " Akadaro
achiridza tsamwa.

"Ndiwo hupenyu hwacho dear hapana


zvatingaite . Neniwo ndakutongonamata
kuti vadzimu vandirambe ndidzokere
zvangu kumba ndinoendawo kuchikoro
nevamwe "

Ndakadaro achibva ati " don't worry


God is watching . Plus chero
vakakuramba haudzokeri l think wanzwa
daddy kuti vati chii? Unenge
wakutodzidza kuno "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" No Karen handingakwanisi shaa .


Ndinoda kudzokera kunodzidza kumusha
plus tarisa uone kuti mukoma Carlton
vanondivenga sei ? handidi kuti
ndizoparadzanisa family yanga yagara
yakabatana . I really appreciate dad's
offer but l can't take it . Kana vachida
kundibatsira zvemashuwa he'll just help
me nemari yechikoro chete ndiri
kumusha ikoko "

I replied achibva ati " asi unofunga kuti


mkoma Carlton vane hutsinye here ?
Havasi munhu akashata ava uye vane
mwoyo wakanaka zvisingaite . Kungoti
chete nhau yekuripa ngozi iyi haisi
kuvabatawo zvakanaka but he's such a
cool guy ufunge "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nxaa cool guy yekuita sei ipapa ? Rega


zvakanzi blood is thicker than water
chokwadi . Shuwa munhu aive
andikweshesa mazino pazere vanhu ndiye
onzi ari cool ? Handina zvangu kuda
kupikisana naye Karen
ndokungobvumira hangu kuti zvindibve
gumbo remhashu . Chokwadi ndini
ndaichiziva nekuti ndini ndaive ndaitirwa
hutsinye hwacho .

Takazosiyana nenyaya yaCarlton


ndokuzotaura hedu dzimwe nyaya
ndichimurondedzerawo dzekumusha
tichiseka kusvika tazorara hedu . Umm
kune vanhu vari kurarama kalife
munyika muno guyz kwete kahupenyu .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Manhuwiriro aiita magumbeze aKaren


aive asingaite . Iwo mubhedha wacho
waive necomfort yekuti ndega
ndainyatsonzwa kuti ndikangogara
ndarara ndaisazomuka nenhau
yokunakirwa nemubhedha .

Zvisinei takarara hedu zvakanaka


ndokuzomutswa namama kuma5am
vachiti timuke tigadzire nekuti sekuru
vaisvika manje manje . Ndakamuka
ndokunopinda mubathroom kwakubva
ndavhara door ndokupfugama ndichibva
ndatanga kunamata kuti Mwari
vandionewo vadzimu vandirambe .
Ndichipedza ndakapinda mutub
ndokubva ndageza ndokubuda .
Ndichipinda mubedroom ndakawana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaisirwa tracksuit itsva yemaroon


naKaren ndokubva ndapfeka sezvo
kwaitonhora . Iye aisara akarara hake .
Akandipawo nema morning shoes
echando ndokubva ndapfeka ndichibva
ndabuda .

Ndakanowana vanhu vatoungana


nevamwe vainzi varikubva kumusha .
Sekuru godobori vaive vatovemo
ndichibva ndakwazisa vanhu vose
ndokugara hangu pasi pacarpet sezvo
masofa aive azara .

Kenny aive avemo but Carl aive asimo .


Ndakatoshaya Kuti aivepi ini . Pave paya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndipo patakazonzwa kunhuwirira


ndokuona kuti aive iye hake . Anosvika
omhoresa vamwe vose ndokubva anzi
azogara padivi pangu . Akangouya
akazogara padivi pangu haana
kundimboresa neniwo ndichibva
ndangonyararawo . Kana
ndaizomumhoresa akandinyararira
ndaizonyarirepi zvangu .

Tagara pasi tose baba vaCarl vanobva


vasimuka ndokuti " pamusoro
madzikoma , vanin'ina pamwe
nemadzimai edu . Zuva rataive
takamirira tose rasvika . Takaenda
kuGokwe uko kwatanopiwa musikana
anova agere apa uyu . Saka iyezvino
nguva ino takuisiira Kuna sekuru kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tinzwe kana vadzimu varikugamuchira


mudzimai wavo "

Vachipedza kutaura godobori vanobva


vadurura hakata dzavo pasi ndokutanga
kutaura zvaisanzwisisika vachidzibaya
baya nechitsvimbo Chavo .

Vanobva vambosimudza musoro


ndokutarisa kwatiri vachibva
vadzungudza ndokutanga kutaura
zvakare nehakata dzavo . Zvino Ini
ndaive ndobvunda zvekurevesa . Kana
kuri kunamata ndaive ndanguva
ndanzwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Vadzimu varikuti hazvina hazvo


mhosva , chero pakaitwa hutsinye
mudzimai ndinogamuchira hangu , asi
ummm , regai zvangu ndinyarare"

Pavakangopedza kudaro ndakabva


ndanzwa kunge mwoyo wangu wachekwa
nemunondo . Kufema chaiko kwaive
kwondinetsa ndokuzongodonha
ndakadaro ndiye zii .

Ndakatozopepuka ndakabatiswa key


kune rumwe ruoko then rumwe
rwakasungirirwa watch . Ndakaziva
hangu kuti vaiitira kuti ndikasike
kumuka pandaive ndafainta . Ndizvo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaiwanzoitwa vanhu vanenge vafainta


tichiri kuchikoro zvikuru kumasports .

Ndakagara pasi ndichiungudza kuchema .


Veduwe ndaive netarisiro yekuti vadzimu
vachaonawo kuti ndaitirwa hutsinye
vondiramba manje Ivo vondigamuchira .
Bamkuru nevadzimu vachona
vekwaChirima vaive vakangofanana
hutsinye . Ndovavenga vose .

"Am sorry my dear,nesuwo tanga


takatarisira kuti vadzimu vachakuramba
zvino nesuwo tatosvika pakupererwa .
Mwari vane chinangwa mwanangu . Ini
zvangu l believe in God zvekuti
ndinotoziva kuti zvose izvi varikuzviita

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nechinangwa . Varikuzviita izvi Mwari


kuti umambo hwavo hukudzwe chete .
Trust me my baby Mwari havatipi mitoro
yatisingakwanisi kutakura"

Vakadaro mai Carl vachiedza


kundinyaradza but Ini ndaive
ndakatogumbuka ndakanzwa zvangu .
Chokwadi kubva rini ndichinamata asi
vasinganditarisiwo ?

Ko zvakunonzi ndiMwari venherera


nechirikadzi Wani ?, Vanoreva here
Mwari vachona kuti vanokundwa simba
nezvipoko ? Chokwadi kuudzwa zvekuita
nevanhu vakafa ? Inga ndivo vakataura
kuna Muparidzi 9vrs 5 -6 kuti "nokuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vapenyu vanoziva kuti tichazofa, asi


vakafa Havana chavanoziva , kunyangwe
nomubayiro havachina nokuti
havacharangarirwi .
6.Rudo rwavo , nokuvenga kwavo,
negodo ravo zvose zvanguva zvapera
hazvo, havachino mugove nokusingaperi
pazvose zvinoitwa pasi pezuva"

Saka chaiita kuti Mwari vatendere


nonsense yekuripa ngozi iyoyo ichiitika
chii ? Zuva iri ndiro randakabva
ndaramwa . Kana kunamata chaiko
ndakabva ndatozviudza kuti zvandaive
ndanamata apa zvaive zvatokwana .
Zvoreva kuti variko vanopindurwa
naMwari Kwete iniwo zvangu kwabviwa
ipfumvu .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Taitambura kumba kwedu zvavaiziva


Mwari . Kodzero dzedu
dzichimbunyikidzwa Ivo vakatarisa .
Ndizvo zvinoita Mwari wenherera
nechirikadzi here izvozvo ?, Mai vedu
vaigara misodzi iri pamatama nekuda
kwekushungurudzwa /nevamwe vanenge
vachizviona vane masimba pasina kana
action yaanomboita Mwari wacho.

Zvimwe zvose zvirinani , Iyi yakazoitika


iyi ndiyo yakazoita kuti ndichimuvenga
worse . Kumashure kwese uko ndaimboti
ndikaverenga Psalms 91 ndainzwa
kusimbiswa nekukurudzirwa chaizvo but
apa ndakatozoona kuti zvinoreva kuti Ivo
vana David ndivo voga vaiitirwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakanaka naMwari sezvo ainzi he was


the man after God's heart .

Nemwoyo waiyerera ropa ndakasimuka


ndokutanga kufamba ndakudzokera
kuroom kwaKaren . Chikaranga chacho
chakanzi chaizoitwa vanhu vadzoka
kunhamo .

Pandakangofunga kuti vachange vasipo


ndakabva ndabatwa nedzimwe pfungwa
ndichibva ndanyemwerera .

Ndakabva ndatotanga kumhanya


ndichikwidza mastairs . Ndaive
ndatoronga ndapedza .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 6.

C H A P T E R S E V E N

Carlton .

I was hoping kuti vadzimu vachati


musikana hatimude asi hazvina kuita
seizvozvo. Ini kuside kwangu ndanga
ndisina basa zvangu nekuti ndaive
ndakungoda kuti Zvinhu zvacho zviitwe
zvipere ndirege kuramba
ndongotambudzwa nechipoko chasekuru
kuhope . Zvino musikana wacho
aitoratidza kuti aive atouyawo aine hope
yekuti vachasvika vakamuramba nekuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chero mafaintiro aakaita abvumiwa


aingoratidza ega kuti aive arwadziwa .

Kutaura Chokwadi zvainzwisa tsitsi asi


chekuita paive pasina . Aive achifanira
kutongogamuchira zviripo nekuti life
yagara haisi fair zvekudaro .
Unozvibvunza mibvunzo hobho kuti sei
zvakadai zvaitika kwandiri asi mhinduro
unoishaya . Ukatozobvunza vanhu
vakaita sana bamkuru vake vaya
vanogona kutokubvunza kuti "Saka
wanga uchida kuti zviitike kunani ?"
Saka kutongogamuchira zviripo ndiyo the
best .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndofunga naye akatozongogamuchira


kuti ndiyo yatovepo achibva angoti time
dzaakapedza kutaura namama
ndokutotanga kufamba achikwidza
upstairs. Aisambova munhu akashata
hake aingova mudiki chete plus muviri
wake ndiwo umwe waive mudiki .

Ndakapotsera ziso rangu kuna Kenny


ndichibva ndaona akamutarisa kusvika
asisamuoni . Maitiro aKenny
akandiratidza kuti anenge aive
atapirirwa nemusikana uyu . Kungotiwo
Kenny mumaskirt haabviri veduwe apo
achidiwa zvisingaite. Ipapo ipapo
ndakabva ndarangarira mashoko ake
paakati anozomuda kana asununguka
mwana aidiwa.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nhaimi zvigoita here izvozvo kuti


azodanana nemunhu wandakamboita
bonde naye chero hazvo kuchinzi hapana
kana feeling yandinonzwa nekuti
vadzimu ndivo vanenge vachishandisa
muviri wangu chete .

"Ngatiitei tirongedze tipinde munzira


veduwe basa rinoda kunobatwa achiri
mangwanani tikasike tadzoka " vakadaro
daddy vachitosimuka kwakubva nesuwo
tatosimuka kunanga kumabedrooms edu
kunochinja tichipfeka formal wear.

"Is she crying?" Ndakanzwa izwi


kumusiwo richitaura kwakubva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndacheuka ndokuona ari Kenny akamira


nechepanze akaisa musoro mukati

"Who ?" Ndakabvunza achibva ati "


Ruvimbo, pamwe arikuchema ndaona
kuti anga asina kufara paabva kusitting
room ?"

He seemed concerned zvaitobhowa


ndichibva ndaridza tsamwa ndokuti "
how do l know ? Urikuona Ruvimbo here
muno ? Kuchema kwake kune basa rechii
neni Ini ?"

Ndakabvunza nehasha achibva angobva


pamusiwo ndokuvhara door asina
zvaapindura kwakubva ndasara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichipopota ndega . Nhau yekuti


aratidze mainterests kumunhu wandiri
kufanira kurara naye yakandibhowa
zvisingaite . Hameno Kuti aida kuti kana
azodanana naye omuita sei iye aive
nehobho yevasikana kudaro? Worse
nebasa rake rehudoctor iri aidiwa
zvisingaite . Hameno Kuti aida kuisawo
Ruvimbo palist rehobho iyoyo here ?

Zvisinei ndakapfeka ndokupedza


ndichibva ndasimudza satchel rangu
randaive ndaisa dzimwe mbatya mbiri
just in case Kana tainorara or
kusvibiswa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatowana vamwe vatogara mukombi


izvo zvaingoratidza kuti ndini ndega
ndaive ndichiri mumba .

" Mabatabatiro aunoita chero iye ane


mucheche waanoisa manapukeni anosara
pasi"

Vakadaro daddy ndichibva


ndazvinyararira Ini nekuti ndakaziva
hangu vainditsvaga . Tax yakabuda
ndokuruma mugwagwa tatarisa kutown
uko kwatakazonotora yaitiendesa
kumusha kwaChihota .

Kwaisave zvako kure zvakadaro


sekuGokwe zvekuti kuma10am taive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tatosvika . Pamba paive pakazara kani.


Kungoti cousin brother yedu iyoyi yaive
yashaikirwa nemudzimai achisununguka
aive munhu wemari dzake . Aitogara
kuNew Zealand kunova ndiko
kwaaishandira achigara nemudzimai
wake . Kumusha vaive vatouya kuzororo
mudzimai achizosungirwa apo paakabva
afa achisununguka nemwana
ndokungogara awa rimwechete
ndokutevera mai.

Pamakore taive takangoenzana iye aive


mukuru kwandiri nemwedzi miviri chete
plus he was a cool guy. Aigara achinditi
ndiuye kuNew Zealand asi ndini
ndaingoramba zvangu . Aive
akazvideredza Malcom zvekuti akamira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

apo waisambofungira kuti munhu ane


Mari dzake . Chaizongoita kuti muzvione
iskin necomplexion izvo zvinenge zviri
different kune zvedu nekuda kwekuti iye
anogara kuchando .

Paakationa tichisvika akabatwa neshungu


dzisingaite akachema zvekurevesa.
Airatidza kuti aimuda mudzimai wake
zvakanyanya . I hugged him so tightly
zvekuti akachema ari mumaoko angu till
he couldn't anymore.

Vanhu havana kumboita basa nekuti


takasvika musi waichengetwa chitunha l
think vaiziva zvirikuitika . Kana chiri
chikafu chechirungu chaive saruraude

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuti waigona kufunga kuti pamuchato


ipo paive panhamo .

Paitoshandiswa P.A system zvekuti chero


wainogara kwakadaro uko unenge
uchingonzwa zvirikutaurwa . Ko paive
pachirunguka pekwabamkuru zvekuti
hapana chavaimbochiva pakuve Harare
nekuti zvose vaive nazvo . Magetsi aivepo
neano mazisollar ekuti kana kusina
magetsi anoshanda nemabattery
mahombe .

Mota vaitove nembiri pamba ipapo


kombi neford ranger . Malcolm ndiye
aive akatenga yake imba kuHighlands asi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aive akaisa vanhu sezvo iye aisagara


Kuno .

Zvematambudziko zvakaitwa zvikapera


munhu ndokuchengetwa . Vanhu
vakaparara ndokuenda kumisha yavo
pamba ndokusara family chete .

Vaida kudisscusser nezvenhau


yemudzimai wengozi kuti chikaranga
chacho chaizoitwa after how long but
bamkuru vakatoti as soon as possible
nekuti vakati vaona kuti musikana uya
haasi kuda zvekuti akangoregwa chete
rimwe zuva vanhu vaizowana atiza. Iko
taive tangovasiya vari vaviri naKaren but
taive takiya gedhi.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ini ndirikuda kunopedzisira zororo


rangu ndichigara kwababa vadiki nekuti
kuti ndigare pano ndichiona guva
raShelter everyday ndinogona kutongofa
nestress "

Akadaro Malcolm izvo zvakatsigirwa


nemunhu wese . Maiguru ndivo
vakamboda kuti hazviiti nekuti
haangangoti mukadzi avigwa nhasi iye
otobva pamba uye panogona kuzova
nevamwe vachazouya vachida kuzobata
maoko kwaari but bamkuru vakatoti
vanongobata varipo ivavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vaive vasingade maiguru vachiti hachisi


chivanhu chakanaka asi wavaiudza
wacho ndiye aive asipo hake nekuti
takatozoenda naye kuHarare Malcom.

Bamkuru vaisada kunzwa chinhu


naMalcom. Aive munhu uya wekuti
mwana akaita mari pamba aitoita kunge
achapiwa chigaro chehubaba .
Chataurwa naMalcom ndicho chaiitwa
pamba. Totongotenda Mwari kuti ndiye
ega aive mukomana kumba kwavo ,
otherwise dai aitozonzi ndimkoma chero
ari mudiki . Zvino kwababa Simba
kwaive kusina Izvozvo. Mwana chero
akaita mari yakadii pamba anongoramba
ari mwana .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Asi bamkuru vakatobhejera kuti Malcom


asiye vanhu vasati vaparara panhamo
dzemudzimai wake . Kutaura chokwadi
zvaive zvisina kunaka . Maiguru
vakangoshaya mutsigiri zvavo but she
was right 100%. Zvino isuwo vana Simba
taizotiiwo hedu.

Takatosvika hwave husiku chaihwo .


Tichangobuda mutown tatarisa
kuBorrowdale takanzwa Kenny oti "
munhu wandaona apo kuita kunge
Ruvimbo arikufamba padivi penzira "
takatoseka hedu nepfungwa dzake .

Chokwadi anenge abuda nepi Ruvimbo


wacho uye achiti anoendepi kwaanoziva ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Plus iye munhu wemukadzi anofamba


husiku hwakadaro ega asingatyi mhondi
nevanobata zvibharo munyika umu
anenge akakwana here ? Zvake zvinenge
zviri zvivindi zvei ?

Munzira mose Malcom aive


akangonyarara . Aingopindura
zvaanenge abvunzwa chete otonyarara .
Ainyatsoratidza kuti ane stress chaiyo .

Takazosvika kumba taneta. Chikaranga


chainzi chaizoitwa mangwana acho
manheru . Kenny akavhura gedhe
neremote ndokubva apinda .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Chigedhe chidiki chakashama asi


hachina kusara chakakiiwa here ?"
Akabvunza Kenny. Isu taive tisingaoni
chinhu nekuti taive tigere mukombi Saka
zvizhinji zvaitoonekwa naiye driver .

" Umm handicharangiriri kuti ndasiya


ndakiya here but ndasiya ndaudza hangu
Karen kuti vasabuda gedhe, maybe
ndakanganwa kukiya kwakubva
ravhurwa nemhepo"

Vakapindura mama vachitoenda


kunorikiya . Isu taive tatofamba
kunopinda mumba hedu . Tichipinda
takawana Karen naRuvimbo varimo but
Ruvimbo aive akangogara akavhura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

meso kunge munhu avhunditsurwa or


aona chipoko . Inika ndaitotarisa
ndichiita zvekubirira nekuti pose
pandaimutarisa hana yangu yairova.

"Ko Ruvimbo aita sei ?" Vakabvunza


mama vachipinda ndokubva zvanzi
naKaren " handisi kuziva ini angobva
panze achimhanya manje manje apa
kuita sekuti anga achidzinganiswa Saka
pandamubvunza kuti ko chii haana
kumbopindura anga achingofemereka
kuratidza kuti zvaaona zvamutyisa "

" Kuti ndiye anga avhura kagedhi kadiki


here ?" Vakabvunza daddy kwakubva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Karen ati " umm handizivi hangu , ko


manga masiya musina kukiya ?"

"Handichanyatsorangarira "
vakapindura mama kwakubva daddy vati
" ko Malcom aendepi ?"

"Asara panze hanzi ndirikuda


kumborohwa nemhepo " akapindura
Kenny dzinova ndidzo nguva
dzaipindawo iye Malcom wacho tichibva
tanzwa " wow "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Aidaro achisekerera achifamba achienda


paive pagere Ruvimbo .

"She's so young , beautiful and innocent"


anodaro achitsvoda ruoko rwake rwaaive
akabata akagara paside pake. Zvino
Ruvimbo wacho aitoita kunge munhu
asiri kutonzwa hake.

"Let me take her to my room ndinoona


Kuti chii chirikuita naye "akadaro Kenny
achimusimudza apo achipa Malcom ziso
raive rizere ruvengo.

Pakaenda Kenny naRue Malcom anobva


atendeukira kwandiri ndokuti" do you

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

love her ?" Akabvunza ndichibva


ndakasika kuti " no handimude anobvac

Anobva atendeuka ndokutarisa Kuna


daddy kwakuti " daddy pane problem
here ndikazomutora hangu kana
asununguka mwana arikudiwa
ndomuendesa hangu kuchikoro
ndozomuroora akura "

"No hazviite izvozvo" takamunzwa


Kenny achidaro nenzwi riripamusoro tose
tichibva tatarisana . Nhaimi ko Kenny
naMalcom vanopenga here kuda munhu
wandirikuda kurara naye ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 7.

C H A P T E R E I G H T

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

*Sekuru* *vaChido* .

Ndaizviziva hangu kuti vanhu vaive


vakatarisira kuti ndichaendesa muzukuru
wangu Chido kunoripa ngozi zvino
ndakazovashocka pamucheto . Nxaa
kuendesa ani? Kunoitei ? Ivava ndivo
vaizotsivira mhosva dzambuya vavo
kusvika zvakanaka .

Regai ndikuudzei maurayiro andakaita


munhu aida kunoripwa uyu .
Kuzongoudza vanhu kuti ndakamuuraya
nguva yehondo ndaive ndakungoitirawo
kuti zvive nechiremera but azvisi izvo
zvakaitika . Murume uya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakatomuuraya live and direct


nebanga .

Chokutanga chandinoda kuti muzive


ndechekuti ini ndiri mwana mupanduki .
Pakashaika baba chero panhamo chaipo
ndaisavapo nekuti vaive vandiudza kuti
handichisiri mwana wavo zvekuti chero
panhamo dzavo ndisauye. In other words
regai ndingoti l was disowned .

Baba pavakaroora mai vaBlessed baba


vaRue ndakarwadziwa nekuti mai ava
vaitove mwana mudiki kwandiri nekure
ndizvo muchiona kuti Ruvimbo
akangoenzana naChido muzukuru
wangu . Kutaura chokwadi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakarwadziwa nekuroora kwakaita


baba Juliet (gogo vaRuvimbo) nekuti
nguva yacho ndaitomuda ini asi nekuda
kwechechi yedu postori yekwaMarange
akabva aroorwa nemudhara baba vangu
isu vapfana tiripo.

Kuwanikwa kwaJuli kwakarwadza


mwoyo wangu zvekuti l vowed to myself
kuti ndaizomutora ari pana baba vangu
chete. Zvino mukana chaiwo ndiwo
wandaishaya zvekuti Juli uya akatoguma
akaita mwana anova ndivo baba Rue
mwoyo wangu ukarwadza zvakanyanya.
Hongu ndaive ndatoroorawo but ndaida
kuti Juli ave mudzimai wangu wechipiri
Kwete wababa . Zvino Juli wacho aitoita
kunge akadyiswa nedhara iroro .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakamboda kuramwa pandakaona ave


nemwana asi ndakangozviudza kuti
mwana haana basa kwakubva
ndazongomuwanira mukana ari ega
rimwe zuva ndichibva ndakanda shoko
asi chaitoita kunge chine mhepo Juli
chacho nekuti chakarambisisa wena
chichibva chandituka ndokundiudza kuti
chaizonditaurira kuna baba .

Paakangodaro chete Ndakabva


ndatopindwa nepfungwa dzekumubata
kuti kana aizotaura ataurire zviripo
kwete kuti baba vazonditukira
kungokanda shoko chete . Pfungwa Iyi
yakandibata nesimba ndichibva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakikiritsana naye Juli kusvika


ndamubata .

Ndichipedza ndakaedza
kumuvhundutsira kuti ukangotaura
ndinokuuraya but ndaitozvinyepera
nekuti akangoti baba vachisvika
achitaura zvose . Ndiro zuva
randadzingwa mumusha nababa vangu
vachindiudza kuti handisi mwana wavo .

Ndakatora mudzimai wangu ndokuenda


naye kumba kwavo sezvo maingove
mudunhu rimwechete imomo ndokubva
ndanokumbira kumusiya ndokukwira
bhazi ndakumbopinda mumasango
kunoshava .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive ndisina kwekunanga


pandakasvika kuHarare zvinova
zvakazondimanikidza kuti ndive street
kid ndichiita basa rekubvutira vanhu
zvikwama zvavo ndotiza kana ari
masikati, then kana ave manheru
ndaitoita zvekutobata vanhu
varikuzvifambira netsoka ndotora mari
ndakavaisa banga muhuro .

Zvinova ndizvo zvimwe chete zvakaitika


pamudhara wekuda kuripwa uyu . Uyu
ndaive ndave nenguva ndichimuona
mutown achienda kucompany kwake
achiratidza kuti ainhuwa mari nekuti
chero mota yaaityaira yaitaura yega kuti
vatenzi vari loaded . Ndakaita mazuva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichimutevera ndichiona nguva


dzaaichaisa nadzo kubasa izvo zvakaita
kuti ndizoona kuti ndiye aipedzisira
mazuva ose kubva pabasa.

Rimwe zuva ndakazongokoka zvivindi


ndokubva ndanopinda ndichidhonza
chisaga chandainhongera zvigubhu
ndichiisa mukati . Security haana
kumbondimisa nekuti chero mapfekero
andaive ndakaita pamwe netsvina
nemazibvudzi nemazindebvu acho
vaitongofunga kuti handina kuperera
munjere ndichibva ndagopinda
ndokunomira pamota yemurume uya
ndakamurindira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kuti zvisave obvious kuti ndine zvandaive


ndafambira mukati umu ndakabva
ndatanga kufamba famba ndichinhonga
tupepa ndichiisa musaga . Kwakutosviba
ndipo pandakazoona murume uya ouya.
Ndakamuona achindisekerera ndokubva
aburitsa wallet ndokubvisa $5 yedu
yemunyika medu chaiyo richiri Zim
$ rine nesimba achibva anditambidza.

"Tora mari iyi uchienda shamwari


ugozouya mangwana makuseni ndione
kuti handingakuwaniri basa rekucleaner
here muno muyard ndichikuhoresa .
Ndazviona kuti une chido chekushanda "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro murume uya kwakubva


ndagamuchira ndokutenda. Ndakada
kumboita pfungwa yekumurega sezvo
aive andivimbisa basa but mari
yandakaona muchikwama chake
yakanditora mwoyo ndichibva
ndatofunga zvekuitora .

Hameno kuti ndiro ramunoti shavi


renhamo rachona here rekuramba basa
rauchashanda mazuva ese uchihoreswa
every months uchida mari yauchangotora
zveipapo wotonoishandisa yopera
zvotovharana . Ndizvo chaizvo zvakaitika
pandiri Izvozvo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakachiva yaive muwallet ndokubva


ndangotaimira achivhura door remota
kuti apinde kwakubva ndangoburitsa
banga rangu ndokumubaya seri
kwenzeve , asati aburitsa inzwi
ndakavhomora zvakare ndokurinyudza
muhuro make ndokubva angodonha .
Ndakamutendeudza ndichida kutora
wallet yandaive ndaona achiisa
muchikwama ndokubva ndamuona
akanditarisa . Airatidza Kuti he wanted
to say something but akatadza
ndokungoyeredza misodzi ndokuzongoti
zii akadaro .

Ndakatora chikwama chiya ndokubva


ndaisa muchikwama chetrouse
ndokutanga kukweva saga rangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichibuda. Security akatondivhurira


achisekerera asingazive hake dzandaive
ndasiya ndaparamura mukati.

Ndichibuda ndakabva ndatorasira


chisaga pasi ndokufambisa ndichienda
kumbare kumabhazi uko
kwandakanosvika ndichipinda
ndokuraramo . Bhazi rakatozosimuka
kuseni roenda kumusha uko
kwandakazonoita sendichadambuka
nemufaro ndawana kumba kune nhamo
dzababa .

Mari yaive muchikwama yaive


yakawanda zvekuti ndaive ndakazviudza
kuti ndaizonotsvaga nzvimbo yekuvaka

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kune rimwe dunhu ndonogara ikoko but


pandakawana mudhara akava bhodho
ndakabva ndatozviudza Kuti hapana
kwandichaenda ndichibva ndatovaka
musha wangu panova ndipo pandiri
kugara nanhasi .

Baba zvinonzi vaive vafa neheart attack


mushure mekunge Juli azovaudza kiti
nhumbu yaaive nayo yaive yangu
yakabata zuva randamubata kwakubva
vangorohwa nehana vakadonha
ndokutofa . Zvinonzi vakangofa
vachingochema kuti Peter wandiuraya.
Pandakaziva kuti Juli aive nemimba
yangu ndaive ndatozviudza kuti
ndaizomutora ndomuroora oita
mudzimai wangu zvino munhu wacho
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akarambisisa ndichibva ndabhowekana


ndokubatwa nemweya wehuroyi .
Ndakaenda kune n'anga uko
kwandakanotaura nyaya yangu
ndokupiwa hari yandakanzi
ndaizonoshandisa kuita chikaranga
chacho musi waanopona .

Hari ndaive ndanzi ndaifanira kuigarisa


pasingaonekwi chero nani zvake Saka
ndakanoiisa mudura ndichibva ndaisa
mutemo wekuti hapana aifanirwa
kupinda mudura kusara kwangu chete .
Ini ndaichityisa zvekuti chide nemafuta
eshumba andaizora chero huku
dzikandiona dzaimhanya kuita kunge
dzichatyoka tsoka kkkkk . Mudzimai
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wangu chaiye mai Tonderai ainditya


zvisingaite zvekuti ndaiti ndaiti
ndikangoti "heyii" aiisa muswe pakati
pemakumbo sembwa . Kana vari vana
handichatauri Saka pandakangotaura
zvekuti kudura hakusviki munhu hakuna
akazombotsikako . Mhiko yehari yainzi
haifaniri kuonekwa chero nani zvake
nekuti zuva razvinoitika ndiko
kupararawo kwangu saka ndaitoita make
sure .

Pahari imwechete iyoyi ndaikwanisa


zvakare kureverera mazita evanhu
vandinoda kusundira mamhepo zvikuru
vemumhuri zvotoita . Ndaive zvakare
negirazi randaishandisa kuona munhu
wandinenge ndichireverera Zita rake ,
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chero ndinenge ndirikuda kuona kuti


arikuitei kwaari ndaingozviona mugirazi
imomo Saka pana Juli hazvina
kundinetsa.

Zveshuwa sekuronga kwedu zvakafamba


mushe Juli ndokufa achipona . Ndaida
kuzosara ndoshungurudza Bule asi
madzisekuru ake akamutora kunova
ndiko kwaakakurira ndokuzodzoka ave
kuda stand yekuvaka apo aroora. Aive
aroora mukadzi akanaka mwana iyeye
zvekuti ndakaita godo . Chivakashure
chaive namai Ruva chaiita kuti ndimerere
kana ndichiona vachifamba nekuti chaiita
kudengenyeka chaiko. Mwoyo wangu
wakachiva mukadzi uya ndichibva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaona kuti ndiroye Bule afe zvaive nani


ndozosara ndogara mukadzi wake
nhaka . Ndaive ndisingadi kutanga
nekungomuuraya Saka ndakamupa
zvangu pekuvaka pacho achibva avaka.
Izvo zvekuti bamkuru havagari mukadzi
wemunin'ina nhaka yaitove Imwe nyaya
iyo . To hell nemunhu akaunza mutemo
iyoyo.

Akatoita vana vatatu vasikana voga


achingovapo . Ugoona aindiremekedza
zvokuti but ini ndaive ndisina kana basa
naye ini . Pakazoshaika dangwe rangu
baba Chido vangoti musoro musoro
ndokubva vatofa ndipo
pandakarwadziwa . Ndakaenda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwasekuru vakanondiudza kuti vaive


vakanganwa kundiudza kuti ndaifanira
kudira ropa remunhu muhari every year
ndizvo kwakazofa baba Chido. Hanzi
ndizvo zvainoita hari yacho kana usina
kudira ropa inouraya mwana wangu .
Iyezvino ndipo pandakatozoziva kuti
mune zinyoka ririmukati rinonwa ropa
iroro.

Ndakarwadziwa zvisingaite nemwana


wangu zvekuti gore raitevera racho
ndakabva ndatongopika kuti baba Rue
ndiye arikutevera pachibayiro ndokubva
zvatoita saizvozvo ndibva ndadira ropa
muhari . Ndakazosara ndonyengetedza
mukadzi wacho kuti ndimugare nhaka
but akatorambisisa kutodza vamwene.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino ndaishaya pekumubatira chaipo


zvekuti zuva razouya vanhu vekuda
mukadzi wengozi ndakafara.

Pandaive ndaona ndagara makore pasina


zvaitika kumunhu wandakauraya ndaive
ndatokanganwa nezvazvo ndazviudza
kuti zvakatovharana ndisina kuziva kuti
zvaizoitika mberi . Zvino vakawana
ndakatogadzirira zvangu.

Mbuya vaChido vakaziva chokwadi asi


vamwe vose ndakavaudza zvekuti munhu
ndakamuuraya nguva yehondo vachibva
vatobvumawo . Nxaaa zvituta izvi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chandakapika ndechekuti pavana vaBule


hapana aizobudirira ndichiri mupenyu
zvekuti pavakangobuda chete ndakabva
ndatopinda mudura ndotora hari yangu
kwakubva ndanyora Zita raRuvimbo
ndokukanda muhari iya ndichireverera
kuti atambure kusvika zvanaka . Aifanira
kuvengwa nemurume waainoita mwana
naye kuitira kuti asamboroorweko then
obva angoti achipedza kuzvara obva
adzoka . Achingodzoka chete ndaive
ndatomurongera umwe sahwira wangu
aive asina mukadzi wekuMalawi uko .
Aive atema mukadzi nebheura mushure
mekunge vakonana ndokubva afa
ndokusiya vana vatatu . Zvino ndiye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wandaida kuti Rue achidzoka


ndomuendesa ikoko onoroorwa.

End of chapter 8

C H A P T E R N I N E
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ruvimbo .

"Ndichipinda mubedroom maKaren


ndakawana akagara pamubhedha
akatarisa kumusiwo kuratidza kuti aive
akamirira ini. Ndakabva ndanyemwerera
ndakamutarisa ndichiedza kuvhara
kurwadziwa kwangu achibva abata
muromo achizhinya ndokuti " don't tell
me , oh my God , varambaka ?
Ndakazviziva ini "

Aidaro achiuruka uruka pamubhedha


ndichibva ndadzungudza musoro
ndichigara pasofa . Aive asina zvake
kunanzerera kuti nyemwerero yangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaisave yemufaro . Ndaitoedza kudzosera


misodzi mukati kuitira kuti kana ndoita
maths dzangu asambogare azvifugira .

" I wish " ndakadaro ndichidonhedza


chiso achibva nayewo arega kufara
ndokuti " Chii Rue ? Asi vakubvuma
here ?, Sei wadonhedza chiso kudaro
kuratidza kuti hausisiri kufara ?"

Akabvunza achiuya kuzogara padivi neni


pasofa, misodzi yandaive ndambozviudza
kuti handisi kuda kuti ibude inobva
yatanga kuita nhangemutange .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Iye akabva atozvionawo kuti paive


pakaipa achibva andimbundira
ndokutanga kundipuruzira musana.

"Am so sorry Rue " akadaro ndichibva


ndafemedzeka neshungu ndokuti "it's ok
Karen haisi mhosva yako . Ndofunga
ndizvo zvandakangogara ndabarirwa
pano panyika . But hazvinei hazvo
ndichangoita zvacho zvirikudiwa "

Ndakadaro achibva awedzera


kundimbundira achikwiridzira madzihwa
kuratidza kuti aive ochemawo .
Ndakatozopinda busy yekutomunyaradza
ndave ini . Aive arwadziwa chokwadi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nekuti aive akatarisirawo kuti vadzimu


vandirambe sezvandaive ndakaitawo .

Takanyaradzana naRue kusvika


takutotaura nyaya dzimwe
achindisimbisawo. Ndaive ndamuudza
kuti ndaive ndazvipira kuita mwana
wacho then kana ndasununguka
ndozoenda kuchikoro naye izvo zvakaita
kuti achizofara .

Vaienda kunhamo vakauya vakationeka


vachisiya vatirovedzera kuti tisabude
gedhe tichibva tabvuma but ini mumwoyo
ndaingoti " muchakaura , handiitwi
mukadzi nechipoko ndakatarisa sekuti
handina makumbo okutiza ini "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takaswera tichifara naKaren


ndichimurivadza zvekuti chero chikafu
chemanheru takatobatsirana kubika
sezvo mama vaibatsira basa vaive vapiwa
a day off . Chaive chondinetsa matorero
enhumbi dzangu dzaaive akanda mubin
rake remubathroom.

Zvisinei kuti Karen asazove suspicious


ndakabva ndati " rega ndimbodzokera
kugarden kuseri uko Karen
ndimbononyatsoona huri husiku kudai
kuti kwakanaka sei , batidza light
repanze ndinodzoka manje manje "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaro achibva ati " ini iyezvino


handichabudi chomi ndirikunzwa
chando . Hanty waona kuti tafamba sei
masikati paye uye mavhurirwo egedhi ?"

Ndakabva ngagutsurira musoro achibva


ati " enjoy , but usanogarise kwadoka
plus kwakutonhora unozopindwa
nechando "

Akadaro ndichibva ndati " don't worry


girlfriend ndinodzoka manje manje "
akaseka hake hanzi" wakutoziva kuti
kunana girlfriend iwewe ?"

Ndakabuda ndichiseka kwakutenderera


neseri kwemba ndichirasisa vavengi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokunodzoka ndiye tande kugedhi.


Padurawall ndaive ndisingazombofarisi
hangu nekuti ndaive ndaona pamusoro
pakakakwa nerazor wire. Chandaive
ndongonamatira chaive chokuti
ndiwanewo gedhe sisina kukiiwa .

Ndakafema pandakasvika pachigedhi


chidiki ndichiwana chisina kukiiwa .
Ndakabva ndaisa muchinjikwa mitatu
semupostori ndichitenda Mwari
kwakubva ndabuda .

Ndichibuda panze ndakabva ndaona


umwe mukadzi or musikana here
aitofambawo netsoka mustreet . Ndaida
kunofambidzana naye but ndakatya zviya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekumusha zvekunzi haungofambi


nemunhu wawasangana naye munzira
husiku nekuti unogona kufamba
nechipoko Saka ndakabva ndazviudza
kuti ndaizofamba ndiri nechekumashure
kwake ndichienda kwakatarisa gumbo .
Ndaizonotsvaga pekurara ndave mberi
chero panze zvapo ndobva ndozomuka
kuseni ndofamba ndichitsvaga basa .

Ndaive ndakapfeka tracksuit yandaive


ndapiwa naKaren kuseni kwacho
ndichibva ndatora nechifleece chandaive
ndakafuga kuitira chando Saka ndaive
covered chero ndaizorara musango.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndirimukufamba kudaro
ndakazongotanga kunzwa bvudzi rangu
kumira muviri wakuita kunge waifamba
nemasvosve ndichibva ndamira .
Ndakazviziva kuti pandaive paive
pakaipa nekuti zvaitomboitika tichiri
kumusha kana tinenge tasvika panzvimbo
yakashata . Chakandishamisa ndechekuti
musikana uya aingofamba kuratidza kuti
iye hapana chaainzwa .

Ndichiri mukuringa ringa kudaro Hana


ichibika manhanga ndakabva ndaona
hameno kuti ndingati munhu here ? Or
muroyi, gudo here kana chipoko nekuti
chinhu chacho chaive chisinganzwisisiki .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chaiuya chichibva nemberi kwangu


ndichibva ndatanga kufamba
nenhendeshure . Chaityisa hama dzangu
Zvekuti pachakazoputika zimoto ndipo
pandakazoita sendichafa nehana .
Ndakasimuka nespeed yembwa nhatu
ndichidzokera kumashure . Ndaive
ndatokanganwa KwaChirima
ndokuzoona kagedhi kadiki kaive
kakavhurika ndichibva ndaziva kuti
ndipo nekuti pandakabuda ndaive
ndasiya ndisina kuvhara .

Ndakangosvika ndichipinda
ndichimhanya kwakuzonobreaker ndave

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pamusiwo ndichiitira kuti Karen asazive


kuti ndaive ndamboda kutiza.

Ndakasvika ndokugara pasi ndichida


kunyatsoedza kufunga kuti chingadaro
chiri chii chinhu chandaive ndaona .
Ugoti tichiri kumusha ana Melo vaigara
vachiti kutown hakuna zvipoko nevaroyi
izvo vainyepa havo nekuti ini ndaive
ndachiona neangu meso maviri .

Karen akapinda achibva upstairs


achiratidza kuti aitaura but ini kutaura
Chokwadi ndaingoona achifambisa
muromo kuratidza kuti aitaura but
ndaive ndisingamunzwe kuti aiti chii ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Worse chero pazopinda vanhu vaibva


kunhamo ndakatadza chero
kuvamhoresa . Ndaiona kuti vaitaura
nezvangu vachindinongedza but
zvaitaurwa ndaive ndisingazvinzwe .
Ndaive ndavhunduka zvakanyanya .
Ndakazonzwa kusimudzwa but
akandisimudza wacho handina
kumuona . Ndaive ndakungoita
sezungairwa .

Pave paya pfungwa dzangu ndipo


padzakatanga kudzokedzana apo
pandakazowana ndirere pamubhedha
ndiri mukati memagumbeze .
Ndakamuka nekukasika ndokutarisa
ndichibva ndaona kuti maive musiri
muroom maKaren .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Umu maive makanaka kupfuura


maKaren nekuti chero zvinhu zvaivemo
zvaive quality chaiyo kuratidza kuti
munhu akatenga achizvisarudzira apo
achishandisa mari yake .

Ndave kuda kutoburuka pabed ndipo


pandakabva ndanzwa door kuvhurwa
ndokuita sendichazviitira wiwi ndichiona
Kenny achipinda . Ndakavhunduka
ndichiedza kuda kusimuka kwakubva
ndadonha pasi . Nhaimi ndakatoshaya
kuti ndaive ndapinda sei mubedroom
maKenny ? Maybe ndaive ndarasika
hangu ndichifunga kuti ndemaKaren.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabvunda nekuti ndakaziva kuti apa


ndaitozorohwa chete .

"Am sorry handizivi kuti ndapinda sei


muno l think ndarasika "ndakadaro
ndapfugama pasi ndichiombera
kwakubva Kenny afamba achiuya
kwandiri kwakubva atambanudza maoko
ake kwandiri ndokuti " it's ok Rue don't
worry ndini ndauya newe muno . Wanga
waita panick attack chii chaitika? waonei
chakuvhundutsa? "

Apa ndipo pandakachizobva


ndarangarira zvaive zvaitika .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatoona kuti ndimuudze Chokwadi


kwaive nani but ndaisazotaura kuti
ndange ndichida kutiza .

"Ndambobuda ndichifamba famba hangu


apo pandazoona chinhu changa
chichityisa" ndakadaro achibva aseka
Kenny ndokuti " tell me the truth Rue
handimbofe ndakutaurira. I know kuti
wanga uchiedza kutiza and l understand
you , do you want me to help you escape?
" Akabvunza ndichibva ndaramba
ndakamutarisa neziso . Uyu munhu
ndofunga kana akanditarisa aiona
bharanzi hake .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" No " ndakadaro achibva atarisa


mudenga kuita kunge munhu aidzosera
misodzi mukati kwakubva ati " am
serious Rue but nyaya inenge iripo
ndeyekuti ndinonokurojera somewhere
wogara ikoko uchienda kuchikoro then
ndozokuroora kana wapedza form 4 , for
now you will be only my girlfriend uye
hapana munhu anombofa akaziva kuti
ndini ndinewe"

Akapedzisa achidaro achiratidza kuti


aive serious chaiko . Kutaura chokwadi
ndakazongokaruka ndabvuma ini nekuti
kurara naCarlton ndaive ndisiri kuda.
Sezvo Kenny aive ati aizondiroora
ndapedza form 4 ndaizongonyepedzera
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuita musikana wake ndichironga maths


dzangu . Haiwawo ndepapi pandaizoda
kuroorwa naKenny ini ndambobva
kumba kwavo ndichitiza?

"Ndinoda " ndakadaro ndakatsikitsira


pasi achibva asekerera ndokuti " Saka
bhoo, ndakutotanga kutsvaga
kwandingakuwanire pekugara kuri safe
before chikaranga chaiitwa " Akadaro
achitora laptop yake achiisa pamubhedha
ndichibva ndati " are you serious or
urikuda hako kungondinzwa ?"

Ndakabvunzaka nekuti ndaitoona kuti


munhu ari serious plus airatidza kuti aive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

asiri kufara semaziviro andinomuita


chaiwo .

"Ndingajoka nezvinhu zvakadaro here


nhai Ruvimbo ? " Akadaro achiratidza
kurevesa kwake kwose ndichibva
ndangogutsurira musoro . Ipapo Ipapo
takabva tanzwa vanhu vaitaura
vachiratidza kuti vaikwidza mastairs
vachiuya kumabedrooms Kenny achibva
amhanyira kuti " pinda mumagumbeze
urare ubve wanyarara hurry !"

Akadaro ndichibva ndamhanyira


kudzokera pamubhedha . Nhaimi Kenny
zvaaitove serious. Iye anobva atora laptop
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokunogara pachair akaisa laptop


patable ndokutanga kubaya baya hameno
zvaaiita .

Nguva isingani kwakabva kwagogodzwa


kwakubva Kenny adaira ndokubva
vanhu vapinda vaiti baba , mama ,
Carlton neumwe akandirovesa nehana .
Ndaitarisa ndakatsinzinyira but apa
ndakazoita kuvhura ziso chaiko nekuti
munhu wandaiona apa aive akanaka .
Handina hangu kumuchiva but chinhu
chakanaka chakangonakawo amana .
Mukomana uyu chero vana Kenny
vandaimboti vakanaka pana mr
handsome vanga vasingasviki .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hie beautiful"Akadaro akanditarisa


achisekerera ndichibva ndazongokaruka
ndozhinyawo izvo zvinenge zvisina
kufadza Kenny nekuti ndakaona
akanditarisa kwakubva ndakasika
kudonhedza chiso achibva ati "iwe
Malcom wanga watopedza kuchema
mukadzi nguvai wakutosekererana
naRue pano? Ndizvo zvawasiira mukadzi
achengetwa nhasi here Izvozvo kuti
uzosekererana na....

"Shut up mhani Kenneth " vakadaro


baba vake achibva angoridza tsamwa
achidzokera kunotarisa kulaptop yake
achiratidza kusvotwa kwakanyanya .
Ndakashamisika ini kuti ndiye munhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ainzi afirwa nemudzimai uyu . Saka zvino


kuno aiitei Ivo vaive vachengeta mukadzi
nhasi ?

End of chapter 9.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R T E N

Carlton.

"I think Kenny is developing strong


feelings for Ruvimbo , we need to do
something before its too late nekuti
tinogona kuzongoyeuka bako tanaiwa
nemvura . Ruvimbo mwana mudiki
anogona kuzongonyengedzwa naKenny
tikazopepuka ave nenhumbu kare , Regai
ndifonere mukoma ndivaudze kuti nhau
yekunzi chikaranga chiitwe mangwana
haichaite chakufanira kutoitwa nhasi
nekuti handichazvioni mushe "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro daddy vachitobuda panze


vachibaya baya fon yavo nguva dzaive
dzichangopedza Kenny naMalcom
kukandirana mashoko pamusoro
paRuvimbo .

"I think so too" vakapindurawo mama


vachigara pasofa vachiratidza kupererwa
nechiitiko chaive chabva kuitika . Ko
kwakatopotsa kwabataniwana macollar
ka pana Malcom naKenny . But iyewo
Malcom akazvinyanya , haangati munhu
apedza kufutsira mukadzi nhasi ave
kutoda umwe mukadzi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Maitiro ake akaratidza kuve emunhu


asina hanya nemudzimai wake akashaika
nekuti dai zvaisave Izvozvo akaratidzawo
a little respect kumudzimai wake anga
ashaika Kwete kufuratira guva richiri
nyoro achiti anotya kuzoita stress
nekuriona . Hameno kuti aifunga kuti
chero Kuna daddy aizongoita chero
zvaada zvaakajaira kuita kumba kwavo
here Asingazive kuti Kuna baba Simba
kwaive kumakata nekuti vakatongogara
vamuudza kuti hapana munhu
arikuzodanana naRuvimbo pavanhu
vehukama hwekwaChirima . Hanzi kana
zvanetsa zvirinani ndimudzosere kana
aita mwana umwe neumwe anomuda
ozomuvinga kumusha kwavo
onomupfimbirako .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ini ndini ndaive ndangogara


ndakanyarara hangu ndakatarisa drama
raiitika . Chinhu chakazonyanya
kundibhowa aive matauriro aMalcom .
Chero mama nadaddy ndakaona
kubhowekana mavari nekuti akati "
tichaona kuti achabvuma ani pakati
pangu newe , remember ini ndine
malooks aribhoo kukupfuura plus ndine
mari dzangu "

Nxaaa ndakabhowekana fani .


Kwaingovewo kuvhaira zvako Malcom
but ini ndaive nechikoro kumupfuura
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuti kana ndaizoitawo mukana


wekuwana basa kunze ikoko ndaizongoita
mari yakawanda kumupfuura nekuda
kwemapapers angu but zvisingareve kuti
Kenny aisavawo nayo mari yacho .
Kwaive kungofarisawo zvako Malcom
rega daddy vakazomuitira hasha .

"Chimboita zvekuchema mukadzi


Malcom. Usaite sekuti wanga usina basa
nemuroora iwe . Plus hauna kurasikirwa
nemuroora chete warasikirwa nemwana
zvakare Saka give yourself a time to
grieve . Zvemalooks ako nemari pana
Ruvimbo hazvishandi because she's here
for a reason and l don't need to remind
you what she's here for because you
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

already know " vakadaro achibva


atenderedza meso ake zvekudherera
chaiko ndokuti.

"But atofaka Shelter wacho daddy


haachadzoki , kumuchema kwangu ndiko
kungadzoka kokonzera kuti amuke here ?
I still have a life to live than to cry for a
dead wife the whole year or kuti ndirege
umwe musikana wandinenge ndichida
achitorwa nevamwe in the name of still
grieving, kunounzei ?" Akadaro achibuda
panze izvo zvakaita kuti mama nadaddy
vadzungudze misoro yavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaimufarira chaizvo Malcom but apa


aive akuda kundibuda nemuitiro wake .
Maybe taingozviudza kuti munhu aive
auya kuzobvisa stress izvo aive
atofambira iye Ruvimbo nekuti muitiro
wake wanga wakusanzwisisika . Ko hanty
aive agara achiziva here kuti ariko uye
auya kuzoitei ? Daddy vaitove right kuti
vazomudzosera kwavo then anomuda
ozomutevera ikoko .

"Zvaari mashura " vakadaro daddy


vachipinda kubva panze pavaive
vanofonera bamkuru vachivaudza
pamusoro pekuti chikaranga chiitwe musi
iwoyo . Vairatidza kupererwa chaiko
kuratidza kuti whatever zvaive zvataurwa
nabamkuru zvaive zvavapedza simba.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hanzi chii ? " Vakabvunza mama


vachibva vati " ndavaudza kuti
chikaranga ngachiitwe nhasi because
Malcom naKenny varikuratidza kuti
vakuda Ruvimbo ivo kwakuti " kana
zvakadaro chiregai kuita chikaranga
chacho Malcom atore musikana wacho
kana achimuda ndozoenda ini kumusha
kwacho ndonotora muzukuru wavo
akasara ndonovaudza kuti vadzimu
vakaramba Ruvimbo"

Mkoma baba Marah havana


kutombokwana chaiko munjere dzavo .
Chokwadi munhu angatongwa nemwana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kusvika pakudaro ? Plus ndofunga iye


Malcom zvaabuda panze anenge anga
atovaudza kuti ndave kuda musikana
nekuti havana kumboratidza kushamiswa
nazvo "

Vakadaro kwakubva mama vati " Saka


Imi mavati chii ?"

" Ndavaudza ini kuti hakuna zvakadaro


zvirikuitika , iyeyu ndiye akagamuchirwa
nevadzimu and chikaranga chacho
chakutoitwa izvozvi "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pavakadaro ndakabva ndanzwa


mudumbu mangu kurira . Kunzwa hana
yangu ichirova zvekuti chero simba
chairo ndaive ndakunzwa richipera
zvishoma nezvishoma . Nhaimi
ndaizotangira pai?

Ndaive ndisati ndakamboona


munhukadzi ari naked ini . Chero kuti
ndaizotangira papi ndichiendepi
ndaitoshaya . Ndakabva ndaita zvivindi
zvekusimuka ndichibva ndabuda panze .
Ndaida kunofonera my friend Evans kuti
andipewo manotes . Iye ndiye aitova
nemudzimai nemwana Saka ndiye
aitoziva maitirwo azvo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndave kuseri kwemba ndakaburitsa fon


yangu ndokubaya nhamba dzake but
ndakazokasika ndadimbura nhare yacho
ndakutya kusekwa. Ndaive ndisina
kumbobvira ndavaudza vose naEdwell
kuti ndapiwa mukadzi wengozi saka
ndakaziva kuti vaitozondiita joke chete .

Ndakatura mafemo ndokudzosera foni


yangu muhomwe ndokutanga kufamba
ndichidzokera mumba . Ndaiona mwenje
wefon kugarden ndikaziva kuti aive
Malcom chete .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Watopedza here kugadzira kuguest


bedroom " vakabvunza daddy Kuna
mama ndokubva vati " yes but hatisi
kuzivaka kuti Ruvimbo wacho ave sei ?"

" Handei tinomutarisa " vakadaro daddy


dzinova ndidzo nguva dzaipindawo
Malcom . Hapana akambotaura naye
ndodungamidzana takuenda kubedroom
kwaKenny uko kwaive kwakuda
kutangazve imwe hondo daddy
ndokuzokasika vaidzimura .

"Ave sei Ruvimbo Kenny ?"


Vakazobvunza daddy mushure
mekachinguvana .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ave stable iyezvino but acharara muno


nhasi ndichiona kuti ndingamubatsire
sei ?" Akapindura akangotarisa kulaptop
yake kwakubva tatarisana tese .

" That is not going to happen because


chikaranga chakutoitwa izvozvi "
vakadaro daddy achibva ati "whaaat !"

Nhaimi kushamisika kwacho kuita sekuti


munhu anga asiri kuziva kuti ndizvo
zvaive zvavingwa naRue kubva kuGokwe
kwavo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko ukagoshamisika sekuti ndataura


zvinhu zvinovhundutsa wani? "
Vakabvunza daddy achibva ati " why
today daddy ? Hazvingamirirwi kusvika
mangwana manheru here sekurongwa
kwazvanga zvagara zvakaitwa plus
handisati ndanyatsova 100%sure kuti
apora that's why ndichiti mumbomira"

Akadaro ndokubva daddy vati


"hapachina nguva Kenny, zvakutoitwa
izvozvi tigare taziva kuti chimwe chikamu
chapfuura"

"But da...."

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"No Kenny , ndati chikaranga


chakutoitwa now and my word is final"
vakadaro vachibuda daddy vachisiya
varovera door . Ndakatoshaya Kuti sei
Kenny aive ovharidzira nhau
yechikaranga kudaro ? Mapikidziro ake
aitoratidza Kuti ndeemunhu asisatodi
kuti chiitwe .

"Muka tiende Rue my baby " vakadaro


mama ndichibva ndaona achitarisa Kuna
Kenny iye Kenny ndokutarisa pasi . Izvi
zvaingoratidza pachena kuti pane zvaive
zvataurirwana chete pakati pevanhu
vaviri ava . Rue akamuka ndokubva
mama vamubata ruoko ndokubva vabuda
naye uyu Malcom achiteverawo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Sei urikudai Kenny ?" Ndakabvunza


tasara tiri vaviri achibva ati " kudii ?"
Akabvunza zvegwinya zviya zvekusada
kubvunzwa ndichibva ndati " you know
what am talking about "

"Carl !" vakasheedza daddy vari


mupassage ndichibva ndatobuda ndisina
kuwana mhinduro kubva kuna Kenny .
Vakavhura mubedroom mangu vachibva
vapinda ini ndichiteverawo kumashure .

Vanosvika vogara pabed vachibva vati " l


know kuti hausati wamborara
nemudzimai pahupenyu hwako "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pavakadaro ndakanzwa kuzvinyarira


ndichibva ndatsikitsira musoro pasi
twisting my fingers . Iii ndakanyara
zvisingaite.

" Don't be shy it was not your fault and


usazvidye mwoyo kuti uchaita sei
zvichangozviita zvega " vakadaro
vachindipuruzira musana dziri nzira
dzekundisimbisa but ini ndaive ndapera
zvangu nenyadzi pamwe neugwara .

Ndakabva ndagutsurira musoro


ndokubva vati " good luck, l think
Ruvimbo is waiting " vaidaro vachivhura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

door kwakubva vabuda ndokusiya


vavhara .

Mashoko ekuti Ruvimbo is waiting


akandipedza Simba rese kusara
ndisisina . Ndakambosimuka
ndokukumura bhurugwa rangu
ndichitarisa kuti chaivemo here chinga
junior ? Pandakagutsikana kuti chaivemo
ndakabva ndapfeka bhurugwa
ndokutura mafemo ndakubuda kuenda
kuguest bedroom uko kwandakawana
Ruvimbo atorara pamubhedha akatarisa
kumadziro apo mubhedha wese uri
white . Pandakaona achiratidza kuti aive
asina kupfeka chinhu kumusoro, hana
yangu yakabva yatanga kurova kuita
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

sekuti ichabuda muchifuva . Ndaive zvino


ndangomira ndakazembera madziro
ndichishaya pekutangira .

End of chapter 10.

C H A P T E R E L E V E N

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Carlton.

Ndaifunga kuti pamwe Ruvimbo


zvaakanzwa ndichivhurwa door
achacheuka but haana . Nhaimi , ko
daddy zvavati zvichangozviita zvega
wani? Ndakazvibvunza mubvunzo
ndichishaya pekutangira
ndokuzorangarira kuti zvakanzi handisi
ini mhani ndirikufanira kurara nemunhu
uyu . Vadzimu ndivo vakanzi vachapfeka
Ivo mutumbi wangu voita voga
chikaranga chavo uye ini hapana kana
feeling imwechete yandichanzwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Where are you ?" I whispered


ndisingade kuti Ruvimbo anzwe nekuti
aigona kuzongofunga kuti pamwe ndave
muroyi .

Pandakangodaro chete ndakabva


ndangonzwa kunge ndapfekwa. Kunzwa
hushingi hwekuti chero ndega
ndakatoshaya kuti zvabva nepi kwakubva
ndadzima light ndokutanga kufamba
ndichienda kumubhedha . Ndakasvika
ndokubvisa mbatya dzese kwakubva
ndapinda mumagumbeze. Nyadzi dzese
dziya dzandaive nadzo ndichishaya
pekutangira dzakapera .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakarara paside paRuvimbo


ndokupotesa ruoko rwangu kuseri
kwake . Iii kamunhu kaive kadiki ikako
zvekuti ndaitoita kunge ndakambundira
mwana . Ndaida kunobata mukaka but
before l do that ndakabva ndarasirwa
ruoko kure naRuvimbo .

Ndakatoona kuti ndikaita zvekutamba


chikaranga chacho kwaitozopedzisira
kukaedza chisina kuitwa ndikazosekwa
naKenny kwakubva ndangopfekwa
neamwe masimba andisina kunzwisisa
kwaakabva ndichibva ndamuka
ndokuenda pamusoro pake , iye achiedza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuda kundidonhedzera kuside but


ndakazvimakidzira kusvika ndakwana
chete . Wakaivhurira mhere Ruvimbo
ndofunga kumwe kwaive kwave
kurwadziwa nekutsikirirwa sezvo ndaive
nemuviri muhombe . Ini ndainzwawo
kurwadziwa but kuti ndirege ndakaona
zvisingaite kwakubva ndaramba
ndakashingirira chete .

"Carl !" Ndakarinzwa voice raKenny


richisheedzera panze achiratidza kuti aive
pamusiwo kwakubva zvanzi naRuvimbo
" please Kenny help he's hurting me "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Urikuita chii ipapo iwe ?" Ndakarinzwa


voice radaddy richitaura zvaive
nehukasha . Zvimwe handina kuzoteerera
ini ndave busy . Ndakamanikidzira
ndichirumwa kusvika ndapinda
ndikanyatsonzwa kuti ndazara
nekakudziya kaivemo kachibva
kandiwedzera manyuku nyuku .

Handizive kuti zvakauyawo sei


mupfungwa dzangu but ndakazongoona
ndatove busy kutambisa chiuno changu
and hameno rimwe zifeeling randainzwa
ipapo but haaa raiendeka mhani .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anga akusarwisa Ruvimbo izvo


zvakandipa mukana wakakwana wekuti
ndinyatsoita zvandaida kusvika
ndaoffloada katatu kwakubva ndamuka
ndokupfeka hembe dzangu ndichibva
ndabuda ndichisiya Ruvimbo ari mariro
ndichienda kubedroom kwangu .

Pane nyaya yaive yondinetsa yekuti


ndaive ndanzi handifaniri kunzwa chinhu
panguva yacho asi apa ndainyatsonzwa
kuti ndiri kuitei . Ndakanopinda
mubathroom ndokunomira mushower
ndichifunga kuti zvimwe junior aizorara
but ndakanyatsoona kuti
ndaitozvinyepera nekuti feeling riya
rekunyerekedzwa rakaramba
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

richingovapo and raive rachizouya zvine


simba manje .

Pain yaivepo but yaikurirwa nezifeeling


mupengo randainzwa . Ndainyatsonzwa
kuti dai ndaenda ndanodzokorodza.
Ndaiti ndikangofunga kakudziya
kandaive ndanzwa feeling riya robva
ratowedzera . Ndakabuda mushower
junior akangonongedzera ndokubva
ndanogara pabed.

Ndakanzwa mama vachitaura kuguest


bedroom kwaive naRuvimbo after
dzinenge 30minutes kuchibva kwati zii
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuratidza kuti vaive vasisiko . Ini ndaive


ndapfeka mapyjamas angu ndakangogara
pabed ndichishaya zvekuita naJunior
kwakuzoona fon yangu yopinda massage
yaibva Kuna daddy yaive yakanzi " you
can go back to the guest bedroom
remember zvakanzi 3days uchirarako
wozorega hako "

Haiwa vakanonoka vataura nekuti


ndakatobuda ndichimhanya ini . Ndaive
ndatove nehushingi ini zvekuti
ndakatozoona kuti ndaingotya zvinhu
zvisingatyise . Ndaida kutonodzokorodza
hangu . Junior zvechironda taizozviona
after mazuva matatu zvazvino aifanira
kumbodzikama hake .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakanopinda kwakuwana masheets


achinjwa kuchinhuwira shower gel
kuratidza kuti aive ageza Ruvimbo.

Zvese zviya zvekunyara zvaive zvapera


zvekuti ndakatosvika ndichibvisa mbatya
ndokubva ndatopindawo mumagumbeze .
She was still facing the walls ndichibva
ndamutendeudza kuti atarise kwandiri .

Light ndaive ndisina kudzima this time


around. Ndakabva ndada kumboedza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvimwe zvandaive ndamboverengawo


hangu pagoogle ndichida kuona kuti
zvinoshanda here ?

Ndaive ndakaona pakanzi huro


yemukadzi is too sensitive Saka ndaida
kuona kuti Ruvimbo aizoreactor sei ?
Ndakabva ndaisa muromo wangu
muhuro make ndokutanga kuita
sendinofemera mweya unodziya ndichiita
kunge handisi kukwanisa kusvikira
pahuro chaipo nemuromo ndichibva
ndanzwa shasha ichipfakanyika
ndichibva ndaziva kuti zvinoreva kuti
team riya rekuinternet rairevesa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndanosvitsa muromo wangu


ndichibva ndaita kunge ndamuruma so
ndokufuridzira ndichibva ndanzwa
shasha yofemera pamusoro sendere
ndichibva ndaziva kuti ndaivemo
munzira .

Ndakatanga kuita matirikisi ose


andaiverenga ndokutamba naye Rue
kusvika ndasvika kuguvhu . Neniwo
ndaive ndakuchinyatsonzwa kuti
hazvichina kumira mushe zvekuti
handina kuzokwanisa kunosvika chaiko
chaiko kwandaive ndakanzi nebook
kunosvikwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Haaa ndakadya bota husiku uhu ndikaita


sendicharasika njere. Kuti ndirondedzere
kuti ndainzwa sei chaizvo handikwanisi
but chandinongoziva ndechekuti raive
good zvekuti zifeeling racho . Zvaive
zvawedzerwa nekuti Rue anga aitawo
give in ndofunga akatozongoonawo kuti
hapana yekutamba or mama vane
zvavakamuudzawo hameno.

Kwakapedzisira kukaedza
ndichingozvidyira ini . Apa Kutaura
chokwadi ndanga ndisisaitiri mwana asi
zvandainzwa ndizvo zvaindituma
kuramba ndichingodya . Mukati maRue
maiita kunge mune chinhu chinenge
chichindibata neruoko zvinonyerekedza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kana ndapinda . Hameno kuti


ndingarondedzera ndichiti chii but the
feeling was too good mhani .

Chero iye Rue airatidza kurwadziwa


ndichitanga kupinda but kana
ndangovamo aitondibatirirawo pamusana
zvichireva kuti zvandainzwa nayewo
aizvinzwawo .

Mangwana acho hapana akamuka pakati


pedu Zvekuti chikafu chakatouya
namama mai Sarah vaitibatsira basa
pamba asi Rue akaramba kudya .
Ndakatomboedza kumunyengetedza but
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akarambisisa plus aive asingade kutaura


neni . Ini ndini ndaingotaura iye
akanyarara . Kana ndabvunza
aingobvunza nemusoro or kudzungudza .
Anga asisacheme hake but aive asina
mufaro .

Ummm zuva iri ndiro randaona runako


rwaRue guys . Hameno kana
zvaikonzerwa nekunakirwa kwandaive
ndaitwa negapu rake but ndaiona
akanaka . Ndiro raitove zuva rangu
rekutotangawo kumutarisa zvakanaka .
Apa ndaive ndisisanyanyi kurohwa
nehana kana ndakamutarisa but
ndainzwa mwoyo wangu
uchinyungudika .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anga asiri mutema kana mutsvuku but


anga ari pakati nepakati . Chero
achizvitwasanura waiona tukomba
mumatama .

" You're beautiful" ndakazongokaruka


ndadhomoka . Ndofunga ndiro bota rake
raive rodeya kundipengesa nekuti
zvandaive ndoita hazviitwe nemunhu ari
normal . Chero iye ndakaona
achisimudza musoro kuratidza
kushamiswa nemashoko akabuda
mumuromo mangu . Ndakanzwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzvinyarira ndega ndokuzongovhara


nyadzi nekuzhinya .

Chandakabva ndangopika zuva iri chaive


chokuti between Malcom and Kenny
hapana aizombofa akadya bota raRue
kuti agonobatwa nekaoko kemwana kaive
mukati . Izvo zvaingofanira kuzikanwa
neni ndega kuti maive nekaoko nekuti
vakangobvira vazvinzwa chete
havaizomurega .

Ini ndaiziva hangu kuti machances ekuti


ndizopiwa bota kana mazuva matatu
echikaranga apera aive mashoma nekuda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwezvandaive ndamuita tichibva


kumusha . Hameno kuti mweyai waive
wandibatawo izvo zvandaive ndave
kutozvidemba kusvika pekupedzisira asi
paive pasisina hapo zvekuita yaive
yatodeuka .

Chandaizongomukumbira chaive chokuti


Kana aizoda hake mukomana anodanana
nevatorwa kwete kudanana nevanhu
vehukama . Handitombodi kuti vazive
nezvekaoko kana nepadiki pese.
Chandaida kuita kwaive kutengera Rue
present chete yekukumbira ruregerero
pane zvose zvandaive ndamutadzira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndiri busy kufunga ndakabva ndaona fon


yangu yakupinda massage yaibva Kuna
Kenny ichiti " Saka haunyare kuswera
wakazvivharira mubedroom nemukadzi
wengozi uchitadza kutsvaga wako "

Mashoko ake akandirwadza kutaura


chokwadi. Neniwo hameno chandaive
ndakuswererawo mumba iyezvino
ndotukwa naKenny .

End of chapter 11 .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R T W E L V E

Narration.

"Sekuru sei ndisiri kukwanisa kuona


Ruvimbo mugirazi ? Vamwe vose
ndinovaona sei ndichitadza kuona iye
chete nekuti ndakapedzisira kumuona

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zuva ravaenda achiri pagrowth point


pedu apa , kubva ipapo iyezvino Chero
ndikada kuedza kutsvaga hapana
chandinowana "

Vakabvunza godobori wavo bamkuru


vaRuvimbo mushure mekuita mazuva
vachiedza kutsvaga kuona kuti Ruvimbo
airarama sei nevanhu vaaive aenda navo
sezvo vaive vafuridzira mhepo yakaipa
pamwe nekureverera zita rake kuti
avengwe nemunhu wese .

Sekuru vanovatarisa kumeso ndokubva


vadzungudza musoro wavo ndokuti "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ukaona zvichidaro muzukuru zvinenge


zvichingova pachena kuti pane
chinodaro . Kazhinji ukaona uchiedza
kubudisa munhu pagirazi asingabudi
ukada kuramba woita nharo unogona
kuzokuvara wave iwe saka advice yangu
ndeye kuti usiyane naye "

" Kuita sei ? , Hapana Ruvimbo wandiri


kuzosiyana naye sekuru . Ko kana
akazonoroorwa ikoko plan dzangu dzese
dzikapinda musango ? Kuendesa
kwandakaita Ruvimbo handina
kumuendesera rugare sekuru , ndirikuda
kuti anotambura zvekurevesa chaiko
after that odzoka akaonda ndouya
ndichimuendesa kuna Achimwene uya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wekuponda mukadzi uyu ozoroorwa


ikoko agozove achigara achirikitwa
ikoko . Ndakatotanga kuve ndichipiwa
mari naAchimwene ndichidya izvozvi .
Zuro chaiye ndakatouya ndichidhonza
zinhongo rembudzi randakatosvika
ndikauraya tikatorara tadya matumbu
nemaguru , ndinoitira kuti
paanozongouya kungotuma vanhu
vonomupereka nekuti pfuma ndinenge
ndakatodya kare "

Vakadaro ndokubva godobori vatura


mafemo ndokusimuka vachinotora hari
yavo seri kwemucheka ndokuuya zvakare
neravo girazi ndokuisa mberi kwavo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Rega ndimboedza ini kutarisa kuti


arikupi ndione kuti handingabudiriri
here ?" Vakadaro godobori
vachitambidza sekuru vaChido chipepa
icho chavainzi vanyore zita raRuvimbo
vakande muhari .

Vachipedza godobori vanobva vatanga


kuita zvinhu zvavo vakatarisa pagirazi
vose vari vaviri . Girazi ragodobori raive
hombe zvekuti waitokwanisa kuona
munhu muviri wese .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ummm " vakadaro godobori


vachishamisika ndokubva sekuru
vaChido vatarisa kwavari ndokuti " chii
sekuru ? Maratidzwei ? "

" Hapana chaunokwanisa kuona pamba


apo muzukuru . Munhu akagadzira
musha uyo akasimba zvekuti ndikada
kuramba ndichiita nharo ndinokuvara .
Hondohwe haasi munhu wekutamba
naye , zvose zvawakaita kubva zuva
raenda musikana akazviziva hake but
haana waakaudza. Wakatonyura
muzukuru chitongogamuchira zviripo .
Chero ukada kuedza nzira dzipi hapana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

inobudirira nekuda kwekuti as long


anenge ari pamba apo asina kubuda
gedhe Chero ukaedza sei haufe
wakamuona and maonero andiri
kuzviitaka , umm"
Vakadaro sekuru vachidzungudza
musoro .

"Maonei sekuru ?" Vakabvunza sekuru


vaChido vasisina kugadzikana .

"Ndaona sekuti wakaita tsumo iya


inotaurwa nevakuru yokuti kukava datya
kuriyambutsa " Hana yasekuru vaChido

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yakarova pavakaudzwa mashoko aya.


Zvaaireva vakazviziva but kuti
vazvibvume zvaivarambira .

" Murikuda kuedza kureva kuti chii


sekuru kana muchidaro ?" Vakabvunza
mubvunzo nhando kwakubva sekuru vati
" usaite sokuti hausi kuziva zvandiri
Kutaura muzukuru . Ini munyaya
yemusikana uyu ndakuda kumbomira .
Hameno kana uchida kunotsvaga umwe
achakubatsira nekuti ini ndichiri kuda
kurarama " vaidaro vachisimudza hari
yavo kudzosera seri kwemucheka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sekuru vaChido vakaratidza kupererwa


chaiko. Vaishaya kuti zvaive
zvazonyanyoshatira papi chaipo nekuti
zvavaive vambotarisa vakaona Ruvimbo
achikwesheswa mazino pataundishipi
mwoyo wavo waive wachena kuti mbu-u
sedivi redoto . Zvino mashandukiro
ayakazoita nyaya yacho ichiratidza kuti
yaive yoda kuvasiya pachena somutyairi
webhara yaive isisavabati zvakanaka .
Vakapika mukati mehana yavo kuti iyi
nyaya ndiyo yavaisazongosiya ichienda
yoga.

Vakarovera tsvimbo pasi vachipika kuti


kana zvainzi Chero pasi pemvura
vaizosvika vaitonosvika chete kusvika
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvavo zvaita . Sezvo sekuru Marudhu


vaive varamba kuvabatasira vakabva
vatofunga zvokuenda kuri Binga chaiko .
KuBinga vaive vanzwa mbiri yeko kuti
ndiko kune zvatopota zven'anga.
Vazhinji vaive nemabhizimusi
kunyangwe pagrowth point pekwavo
vaive vaudzwa kuti ndiko
kwavainorombeswa Saka ndiko kwavaive
vafunga kuenda .

Waive mutunhu murefu chose kubva


kumusha kwavo kusvika kuBinga asi
vakazviudza kuti chero dai vaizoita
mwedzi wese vari munzira vaisave nebasa
nazvo as long zvavarikuda zvaita chete .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chimwe chavakanyanya kufarira yaive


nhau yokuti sekuru Marudhu vaive
vavasungura kuti vaive vakasununguka
havo kuenda chero kune Imwe n'anga
yavanoda . Vaisiwanzoziva n'anga
dzichiwanzoitirana godo asi Kuna sekuru
kwaive kusina Izvozvo nekuti vaive
vatomuudza pachena kuti tsvaga vamwe
vanokwanisa .

Chavaive voda chaive chokuda kuziva


chete kana Ruvimbo aizenge aita mwana
wengozi then kana zvadaro vobva
vamuuraya . Zviya zvavaive vambofunga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekumuendesa kwaAchimwene vaive


vatozvitsveta padivi vaona zvisingashandi
nekuti aigona kuzongoramba kudzoka
kana zvinenge zvichireva kuti anenge
azodiwa Harare ikoko .

KwaAchimwene vaive vafunga kuendesa


Munin'ina wake Bertha . Yeah vaive
vatoronga vapedza vagere mumusasa
masekuru .

"Usakanganwe kuti gore rino ndiro


rechibayiro hari yave nenyota "
vakasheedzera vari mumucheka sekuru
ndokubva sekuru vaChido vavhunduka.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ko vaive vatokanganwazve kuti pavaive


vauraya baba vaRue vaive vangonzi
vanofanira kugara makore mashanu
chete vobva vatobayira zvakare.

" Ndofunga unonyatsoziva kuti kana


ukanonoka neropa Kazongo (nyoka yavo
inogara muhari) anozvisarudzira ega
pavana vako " vakamatutsira zvakare
mashoko aya sekuru mushure mekuona
sekuru vaChido vanyarara .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Iiii pakuzosarudza apa ndipo pavasina


kuda. Vana vaive vasara nevakomana
vatatu vapenyu . Chero zvazvo aive
marombe vaive vana vavo vaivada .
Munhu aitoita kunge arinani pavana vavo
vose ndivo baba Chido vakazodaro
kusarudzwa naKazongo pachibayiro .
Vamwe vose ava raitove dambudziko
chairo zvekuti vaiti mazuva avanenge
vakadzoka kukorokoza Vanhu vaitorara
nehuku mudzimba nekuti vakomana
vacho vaitora kwete zvekufungidzira .
Ugoti vanhu vane maoko marefu
pamuromo pavanapo , seivava vaifarira
mhirizhonga zvekuti chero kukorokoza
kwavaive ikoko ravo basa raive
rokuvhundutsira vanhu nezvitemo
nemabhemba vovatorera mari. Kana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaiwana mari yacho yaingoperera kudoro


pasina kana chidiki chine musoro
chaitwa .

" Zvakanakai sekuru ndichaita sekudaro


" vakadaro vachiombera vachibuda
muchimusasa chasekuru . Nhau
yechibayiro yaive yavapedza mufaro
wese . Vanobva vanopfeka shangu dzavo
panze kwakubva votanga kuteremuka
voenda kumba kwavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Munzira mose pfungwa dzavo dzaive


bishi kufunga kuti ndiani wavangaite
chibayiro ? Vakatomboedza kutsvagisisa
kunyangwe nekuvazukuru vavo vana
vevanakomana vavo asi vakashaya ,
pfungwa dzavo dzakabva dzazomhanya
kuvadzosera kuna Runako rugotwe
rwekwana Ruva .

Yaaa , iyi pfungwa vakaipasisa zvekuti


mushure menguva pfupi vaive
vatokanganwa nezvekuti vaive vanzi
kwakudiwa ropa . Chaive changosara
kwaive kuti vasvike vachiita chikaranga
chacho Runako obva atopfuura .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kwaive kwatosviba zvekuti kwaive


kusisanyatsoonekwa chinhu . Vanoti
vachangoyambuka rwizi rwaive
rwakaganhura raini rekwaigara godobori
neravo vanobva vanbofunga kutsauka
kuti vambozvibatsira .

"Ummm Chido kaniii " mazwii aya


caught his attention ndokubva vamira .
Vaida kunyatsoterera kuti vaive vanzwa
mushe here or vaive vaita manzwira .
Maitiro aya ainyatsoratidza kuti
ndeevanhu vaive pamutambo wevakuru .
Hana yavo yakabamuka nezvavakabva
vafunga ipapo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndimi vanani imi munotadzisa mvura


kunaya?" Vakasheedzera vari nechekure
vatya kusvika pedyo . Vakazonzwa
kupfokocheka kuratidza kuti vanhu vaive
votiza .

Vakazvishora stereki kuti dai


ndangosvika pedyo ndinyerere ndanoona
kuti vanga vari vanani ? Zvino zvaive
zvatokona nekuti vaive vaita
zvekusheedzera vachifunga kuti pamwe
vaive vaita manzwira. Nhau yaive
yovanetsa yaive yezita remuzukuru wavo
Chido ravaive vanzwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Umm , asi nezera raChido riya


haangamboiti izvozvo . Chido chero
kugeza zvakanaka chaiko semusikana
haasati ogona saka haangambova iye plus
anonyatsoziva kuti ini pangu pamusha
hapasviki vanhu husiku "

Vakazviseka chokwadi nekufungira


muzukuru wavo zvinhu zvakaora kudaro
vachitotadza kufunga nhau yokuti
Kazongo awane ropa nguva iripo.

End of chapter 12

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R T H I R T E E N

Ruvimbo.

Ndakarwadziwa hama dzangu


patakatangirwa tisati taita plan yedu
naKenny . Zvokwadi regai zvakanzi
murombo haarovi chinenguwo . Ndaive
ndafara kuti at least Kenny afunga
kundibatsirawo ndakubudawo
mumuromo mamupere zvino baba Carl
vacho vaitoita kunge vanofemerwa kuti
taida kutiza .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chokwadi ndaiti ndikafunga kuti


ndirikufanira kuita mwana naCarl
mwoyo wangu waibva wawedzera
kurwadza nekuti mukomana
ndaimuvenga zvekurevesa iyeye . Dai
zvainzi mwana wacho ndiri kumuita
naKenny zvaive nani nekuti Kenny aive
nemwoyo wakanaka.

Ndaive ndongonamata kuti


ndisazonorohwe zvangu naCarlton
zvichinzi ndiri kunhuwa nekuti munhu
wacho aive asinganzwisisiki.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takanopinda muguest bedroom namama


kwakubva tatanga tagara pabed vachibva
vandibata maoko ese ndokuti " ndinoziva
kuti urikurwadziwa Rue my baby but l
want you to know that everything
happens for a reason. Ungaona zvako
nhasi sekuti urikuitirwa hutsinye but
trust me, one day tichazonge tagara tose
panzvimbo imwechete takabatana maoko
seizvozvi ndichikubvunza kuti zuva riye
ndakakuti Chii Rue ? Be strong for me , l
know you can do this , Carlton is not a
bad person Rue believe me . Pavana
vangu vese vari vatatu Carl ndiye ane
mwoyo wakanaka kupfuura vese, plus
anonzwira but zuva riye neniwo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakatoshayawo kuti chii chaive


chamugara "

Vakadaro ndichibva ndangogutsusirawo


musoro . Ko ndaizoti kudii nhaimi kana
munhu achivharidzira huipi hwemwana
wake . Karen naye akataurawo mashoko
amwechete iwayo . Hameno kuti
vanofunga kuti ivo kana vachiitirwa
zvakanaka naCarl vanhu vose vaitirwa
here ? Zvisinei handina hangu kuda
kupikidzana navo ndichibva
ndangobvuma zvacho zvavaida .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Huya kuno " vakadaro


vachinditungamirira kubathroom
kwakubva vanditambidza katube kainge
kemafuta ekuzora .

"Inonzi hair remover iyoyo inotanga


kushanda after 3minutes . Unobvisa nayo
bvudzi rese riri panhengo dzakavanzika
then kana wapedza wozogeza . Kana
wapedza kugeza uchazomonera tauro
rewhite randaisa apa iri usapfeke hako "
vakadaro ndichibva ndagutsurira musoro
vachibva vabuda .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakasara ndokuzodzera hair removal


cream iya kwakavanzika zvese
nemuhapwa sekuudzwa kwandaive
ndaitwa kwakubva ndangogesawo kuti
iyezvino nguva dzinenge dzakwana
kwakubva ndatanga kubvisa. Nhaimi
zvazvaingobva nyore nyore kudaro .
Ndakabvisa zvese kusara ndachena
chaiko ndokuzokwesha mazino netooth
brush itsva yandakaona imomo
kwakubva ndazopinda mutub .
Ndakageza kukokonora chaiko
ndokusara ndonhuwirira bubble gum
nekuda kweform bath yandaive
ndashandisa . Vakagona havo mama
nekuti ndaizorohwa hangu naCarl awana
ndichinhuwa dikita .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Neni ndaive ndakunyatsonzwawo kuti


ndave fresh . Ndichipedza ndakamonera
tauro sekuudzwa kwandaive ndaitwa
namama kwakubva ndabuda .
Pakuteerera ndaive ndagara
ndakangodaro zvangu . Ndakawana
vatopedza kugadzira mubhedha vaisa
masheets machena chete . Ummm aive
akanaka kutaura chokwadi zvekuti dai
rwaive rugare pamwe dai ndakafara .
Ndakapiwa mafuta ekuzora aive
akanyorwa kuti OH SO HEAVENLY
zvese neroll on yacho yandakanzi
ndinozora muhapwa . Ndakatozoona kuti
neform bath yandaive ndashandisa yaive
imwechete iyoyo . Haaa zvinhu
zvainhuwirira izvozvo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazora kwakubva ndapedza mama


ndokuvhura masheets ndokuti " bvisa
tauro uzopinde mugumbeze my baby ,
ndinizve ndatotora nzvimbo yehutete , ko
ndoita sei ?"

Ndakangobvisa tauro kwakubva


ndapinda mugumbeze ndokubva
vandifukidza ndokusiya ndisina
kunyatsofuga kumusoro . " Be strong for
me" vakadaro vachindipuruzira musoro
ndichibva ndagutsurira musoro vachibva
vabuda . Kutaura chokwadi ndaitya
hangu handidi kunyepa .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mushure menguva pfupi ndipo


pandakabva ndanzwa door richivhurwa
zvakare ndichibva ndaziva kuti aive
Carlton hana yangu ichibva yatanga
kuwedzera kurova . Ndaiti kutya iye
Carlton wacho kozoti kutya kutorerwa
humhandara .

Mama vaive vandiudza kuti


zvicharwadza sezvo ndaizvitanga ndizvo
ndainyanya kutya . Ndaifunga kuti
munhu achangosvika nekunanga
kumagumbeze but kana . Ndakaziva
zvangu kuti kwaive kusemeswa neni .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino ndaigozoitawo sei hangu ini ndiri


ini ndaive ndasarudzwa.

Zvino hameno kuti aizorarama


zvakanaka here sezvo kwaive kwanzi
mazuva matatu tichirara muimba
imwechete . Ndofunga shasha
yakazongorovera mwoyo padombo
ndokunzwa mafootsteps munhu
akufamba achiuya kumubhedha .

Kuswedera kwaaiita neniwo hana yangu


yaiwedzera kurova . Chimwe

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chandainyanya kudira zvangu Carl


aigara achinhuwirira . Hameno kuti
ishower gel yaaishandisa here kana kuti
mafuta ake ekuzora . Ndaifungazve kuti
pamwe achangoti achipinda
mumagumbeze obva arutsa but hazvina
kuita sekudaro apo pandakanzwa munhu
apotesa ruoko rwake kudumbu kwangu
ave kubata mukaka.

Yowee apo ndakati kana . Mama vaive


vasina kumbobvira vandiudza nezvekuti
ndichabatwa mazamu Saka izvo zvaaive
akuita kwaive kwatove kubuda munzira
chaiko ndichibva ndarasira ruoko rwake
kure uko ndisina kuziva kuti ndaive
ndairasa .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Haaa cousins ndakarwadziwa zveimi .


Yowe kuita kunge ndirikuchekwa
nebanga . Apo chaindirwadzisa chacho
ngachikure . Ndakaivhurira mhere
yakaipa ini. Zvekuti vanhu vachati chii
handina kuda kumboita basa nazvo
nekuti airwadziwa ndini . Zvino
wandairidzira mhere wacho ndipo paive
pasina nekuti hakuna akauya
kuzondinunura . Ndakazoregiwa
ndakuvara zvangu munhu ndokubuda
achienda pasina kana sorry zvayo .
Chokwadi Carl aive nemweya .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chokwadi nemakuvadziro aaive andiita


munhu ongobhejera kubuda achienda
pasina kana sorry zvayo ? Ndakasara
ndikaita mariro angu ndega . Worse
pakazopinda mama vachibatidza light ,
ndakaita kudonhera mumaoko mavo
chaimo ndichiungudza .

" It's ok my baby am sorry . Zvatoperaso


hauchazorwadziwi zvakanyanya "
vaidaro vachindipuruzira musoro . Zvino
ini shungu dzaive dzakawandisa zvekuti
ndaingochema chete . Vakasimuka
ndokuenda kubathroom uko
kwavakazodzoka vondibata ruoko
ndokundinanaidza vachienda neni .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanosvika vosiya vandibatsira kupinda


mutub ndokubva vadzokera mubedroom.

Vakazodzoka after some minutes


ndokundibatsira kugeza . Mai Carl vaive
nerudo. Ndichipedza ndakazorwa mafuta
zvakare kwakubva ndadzoserwa
mumagumbeze ndisina kupfeka . Haaa
zvakaoma veduwe, hameno kuti
vaisandinzwirawo tsitsi here ? .

Vachipedza vanobva vanditsvoda


pamhanza ndokuti " good night"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachibva vabuda. Ndaive ndakutobatwa


nehope pandakazonzwa munhu achipinda
mumagumbeze asina kupfeka. Ndakaziva
hangu kuti ndiye Carl . Ndaive nehope asi
dzakazorarwa here hope dzacho
ndichingoshandurudzwa . Zvakatanga
zvichiri kurwadza kusvikira ndatozojaira
ndakutonakidzwawo , ko ndaida kudii
hangu ? .

Kuchiyedza taive takangorara zvekuti


zuva rakatoita serichadokazve
takangorara . Ndaive ndakatarisira kuti
ndichange ndichidirwa rough but aitaura
neni zvakanaka Chero ndaive
ndisingamupindure hangu. Chimwe
chaiita kuti ndirambe ndakavhara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muromo yaive yanhu yekutya kuti pamwe


maizonhuwa.

"Hande tinogeza " Akadaro akagara


paedge yemubhedha ndichibva
ndamuka . Ndainyara kunogeza
nemukomana but kuti ndirambe zvakare
ndakatya kuti ndaigona kuzomugumbura
ndikarohwa . Ndakamonera tauro
ndokubva ndasimuka. Ndaitambudzika
kufamba zvakanaka kwakubva azviona
ndokundisimudza . Iyaaa ko zvaaitove
nerudo nhaimi Carl uya.

Akanovhurira mvura mutub kwakubva


ndasimudzwazve ndokuiswa mutub.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva apindawo kwakutanga


kundigeza . Ini nyadzi ndidzo
dzaindikurira nekuti ndaive
ndakatovhara maziso. Ainyatsondigeza
zviri soft Zvekuti kufamba kwaiita ruoko
rwake pamuviri wangu ndaibva ndanzwa
ndichimerera apo kwakavanzika kwangu
kuchivhita vhita . Ndaive ndakutonzwa
kuti dai aramba achidaro nekuti maoko
ake ainakidza. Akanyatsotora nguva yake
kusvika anyatsoona kuti ndachena.

Tapedza ndakasimudzwa zvakare


ndokunozorwa mafuta
ndokundipfekedza night dress
ndokudzokera pamubhedha iye
ndokupfekawo achibva ati "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakumbobuda kupinda mutown do you


wanna come with me?"
Ndakatoshamiswa naCarlton ini.

Kumwe kuve nice kwake kwanga


kwanyanya mhani . Munguva shoma
yaive pfuura kwaive kwambonzi you're
beautiful. Hameno kuti aida kumboedza
kuita sei chaizvo ?. Ndakadzungudza
musoro kurambirana nazvo kwakubva
asiya andikisser pamhanza hanzi " take
care of yourself" achibva abuda.

Uyu Carlton mutsva ari sweet uyu ndaive


ndisina kumujaira ini . Wandaiziva aive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rough Kwete uyu . Uyu mutsva uyu


aitaura zvinonyerekedza zvekuti aiti kana
achitaurira pedyo nenzeve yangu
ndainzwa chando kuzara mumuviri kuita
kunge ndiri kufambwa nemasvosve
mudumbu muchitamba tamba.

"You're beautiful" ndakazongokaruka


ndamafunga mashoko aya ndichibva
ndatanga kuzhinya ndega apa
pakazokaruka door ravhurwa pasina
kana kugogodza . Ndakatoshaya kuti
ndiani asina hunhu iyeye nekuti
rakavhurwa zviri rough zvekuratidza
kuti aisava Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatendeuka ndokutarisa kudoor


ndokuona ari Kenny. Ndakasvotwa but
handina kuda kuzviratidza hangu.

"Maswera sei ?" Ndakamhoresa achibva


aramba anyerere akanditarisa akaisa
maoko muzvikwama .

"Akakuita kangani ?" Akabvunza ari


serious ndikapererwa . Nhaimi mukati
Kenny akakwana here munjere dzake ? .
End of chapter 13.
C H A P T E R F O U R T E E N

Ruvimbo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"I asked you a question Ruvimbo ,


unoreva kuti watoshanduka chimumumu
izvozvi ipapa ini ndapinda uchitaura ?
Ndati akakuita kangani Carlton?"
Akabvunza zvakare Kenny achiratidza
kugumbuka kwakanyanya . Ndofunga
chimwe chaive chonyanya kumugumbura
kunyarara kwandaive ndaita .

Nhaimi asi chero dai maivewo imi


maizopindura muchiti chii ? Hameno kuti
chaive chakumurwadza chii nekuti
zvinhu zvaaive angogara achiziva kuti
ndakauya kuzoita bonde naCarlton kuti
ndigoita nhumbu ndozozvara mwana
wengozi. Kutoda kundibatsira kutiza
kwaive kungoedzawo luck asi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvazvakazoramba aitongofanira
kungogamuchira kuti zvaramba kwete
kuda kutondivinga neattitude kuita sekuti
ndiri musikana wake .

Ndaive ndangobvuma zvenhando ini


paakati aizonditsvagira pekugara
ozondiroora ndave form4 . Ndaingoitira
kuti ndiwane mabudiro chete
ndozomutiza ndave mberi .

Ndepapi pacho pandaizoti ndabva pamba


pekwaChirima ndichitiza ndozodzoka
zvakare ndichinzi ndiri muroora ?
Handipengika ini . Kenny ndaisazombofa
ndakadanana naye Chero zvaita sei ?
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Worse seipapa pandaive ndatomborara


nemukoma wake , ndaiziva kuti hapana
paizombofarira Carlton kuti ndizoroorwa
nemunin'ina wake iye akatomborara neni
tikaita mwana tese. Kana ndaizongopedza
zvengozi ndaitozodzokera kumusha
chaiko . Kana ndaisazodzokera
ndaingotsvaga umwe mukomana
wekunze Kwete wemhuri yekwaChirima .
Worse nehunhu hwandaive
ndakutoratidzwa naKenny uhu hwekuti
aive akutoita kunge munhu ave kutoita
jealousy apo ndisiri musikana wake , haa
uyu Chero zvaita sei ndaisazoda hangu.

" Handichazivi " ndakapindura


ndakatarisa pasi achibva ashama
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muromo zviya zvekushamisika . Anobva


atanga kufamba achiuya kumubhedha
kwandaive nechiso chaive chizere
kurwadziwa ndokuti " Saka unoreva kuti
kanodarika ka2 "

Ndakabva ndagutsurira musoro


ndakutya kuti Kenny aive andifungirei
achibva arumanisa mazino nehasha
ndokuti "wakabvumirei kuti akuite
kakawanda ? Waive wakutonakirwaka ?
Heee answer me ? Ndati waive
wakutobatiriraka ? " Aidaro achiswedera
pedyo neni kunge anoda kundirova .
Ndakavhara chiso changu nemaoko kuti
ndisarohwe kumeso ndatove confused

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti ko aive anyanya kutsamwiswa nei


kudaro Kenny ?

Ndisati ndapindura tinobva tatanga


kunzwa voice rababa Carl richitaura
richiti " arikupiko Kenneth wacho nguva
ndamutsvaga ?"

Ndakamuona achivhunduka ndokubva


amhanya kupinda pasi pemubhedha .
"Haamo muroom make umu " vakadaro
zvakare vachiratidza kuti vaivhara door
remubedroom make ndokubva mama
vati " but anga aripo manje manje uye
kubuda haana nekuti ndanga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichingova musitting room dai


ndamuona "

Pasina nguva ndakabva ndanzwa


kugogodzwa pamusiwo ndokubva
ndadaira mama vachibva vapinda
vakabata plate ndokuti " Kenny haamo
muno here my baby, daddy vanguva
vachimutsvaga?"

Kuhwanda kwaaive aita pasi


pemubhedha ndakaziva kuti kwaive
kusada kuti vazive kuti ndimo maaive but
kuti ndinyepere munhu mukuru
ndakatya kuti kana vaizomuona vaigona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzofunga kuti pane zvakashata


zvandanga ndichiita naye ndichibva
ndati " apinda pasi pemubhedha"

Mama vakanditarisa zviya zvekuda


kuona Chokwadi mumaziso angu ndokuti
" urikureva kuti Kenny ndiye apinda pasi
pemubhedha here ?"

"Eheee " ndakapindura ndakatarisa pasi


vachibva vapfugama pasi ndokuti " ko
urikuitei ipapo iwe ? Uye akupa mvumo
yekuti upinde muno ndiani ?" Vaidaro
vachisimuka kwakubva atanga kubuda
pasi pemubhedha paya achiti " ndanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndapinda ndichizotsvaga necklace yangu


yangu yandaive ndakanganwa muno
mazuva aya muroom mangu muchiri
kupaintwa , Zvino pandaishaya
mumadrawers ndabva ndapinda pasi
pemubhedha ndichiitsvaga nekuti ndanga
ndichifunga kuti panogona pari ipo
payakadonhera "

Akapindura amira netsoka apo


achindicheka necorner yeziso zviya
zvekuti ndichakubata . Mama vake
vanotora nguva vakanyarara
vakamutarisa. Ndofunga vainyatsoona
voga kuti vanyeperwa vachibva
vadzungudza musoro wavo ndokuti .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Let this be the last day l saw you near


Ruvimbo Kenneth. Ndikanoudza daddy
izvozvi kuti wanga uri muguest bedroom
muna Ruvimbo unourawa nekurohwa
iwe ndofunga ndofunga unomuziva
Munyaradzi . For now respect Ruvimbo
samaiguru vako . Mudzimai waCarlton
Ruvimbo kusvika mwana ave pano .
Kana pasina medical help irikudiwa paari
stay very far away from her do you hear
me ?"

Vakadaro vakamutarisa mumaziso


chaimo ndokubva agutsurira musoro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muromo uri mumhino kwakubva mama


vati " good , now buda uende kwauri
kudiwa nadaddy uko ndiwe uchaziva
zvekusvika uchivaudza "
Vakadaro vachiuya kuzogara
pamubhedha .

"Are you ok nana ? Ndanzwa Simba


achiti waramba chikafu " vaidaro
vachitora maconflakes nespoon
vachindiisa mumukanwa . Raitove zuva
rekutanga kuvanzwa vachisheedza
Carlton nezita rekuti Simba.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndagutsurira musoro


ndichitsenga kwakubva vati " ati
tisanokupa zvinhu zviri light zvekuti
usanobata ura arikuuya nechikafu "
ndagutsurira musoro zvakare ndokubva
vatura mafemo kuratidza kuti munhu ane
zvaaida kutaura but achishaya
pekutangira .

Pave paya ndipo pavakazoti " anga


achidei muno Kenny ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Anga achiti Carlton akakuita kangani?"


Ndakapindura vachibva vatura mafemo
zvakare ndokuti " arikuratidza kuti ave
nemafeelings newe Kenny but ini hangu
handisi kuzvifarira . Pano pamba kana
uchizoita muroora wangu mukufamba
kwenguva ndinokugamuchira uri
mudzimai waCarlton chete Ruvimbo . Sei
ndati ndinokugamuchira uri mudzimai
waCarlton chete? Because ndiye
wawatogara warara naye Saka matova
nebond even spiritually zvekuti Chero
mangwana mukazouya motiudza kuti
tafunga kuvaka musha after zvechivanhu
zvapera we will understand nekuti
tinenge tichiziva chakonzera kuti zvidaro
chii?. Zvino naKenny hapana kana
chimwechete chinokusanganisai . Handidi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti vana vangu vazosimudzirana


matemo mangwana because of you Rue ,
Saka for now l want you to tell yourself
that ndiri mudzimai waSimbarashe
kusvika chivanhu chapera panova ndipo
pauchazogona kuita sarudzo yako wega .
Asi kuvana vangu ndinokumbirisa Rue .
If you can't be with Carlton then go and
find love somewhere else pano wove
mwana wepo . Handina kuziva kuti
kuuya kwako pano kuchakonzeresa
zvinhu zvakawanda nekuti mwana
wabamkuru watakauya naye nezuro
angomukawo akagumbuka kwakubva
atodzokera apo aive auya achiti
arikuzobvisa stress"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisa vachidaro ndichibva


ndagutsurira musoro kubvumira . Hoo
mukomana uya aive mwana wabamkuru
vavo ? Ndaive ndatoshaya kuti aive ani
nekuti paive pasina kuitwa
maintroductions.

Vaingozvonetsa havo mama


nekundityira . Ndaive ndagara
ndisingamboiti zvinhu zvakaora kudaro
ini zvekudanana naKenny nekuti ndaive
ndagara ndichitoziva kuti zvinokonanisa .
Dai ndaive ndisina kurara naCarl zvaive
nani .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakandidyisa maconflakes kusvika


ndapedza kwakuzotanga kuita dzimwe
nyaya vachindirodzedzerawo
maroorerwo avaive vakaitwa . Ummm
zvainzwisa tsitsi veduwe .

Ndakanyatsoona kuti why mai Carl vaive


nemwoyo wakanaka kudaro . Munhu
aiziva nhamo iyeye . Vanoti vakamitiswa
nababa Carl vaine 16yrs vari maid
wepamba pavo . Ndikati nditange
kuzvirondedzera ndingatodokesa zuva
nekuti nyaya yacho yaive yakareba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatombochema veduwe ndafunga


kuti isu vamwe taitozviti tinotambura
tichitomborara mumba, zvakaoma
veduwe nhoroondo yamama
yakandisiririsa .

Patakazonzwa kutaura downstairs ndipo


pavakabva vasimuka vakuti vakuenda .
Ndakaziva kuti vaiitira kupa Carl
mukana nekuti pasina nguva ndakabva
ndatanga kunzwa kuchinjanwa
kwemashoko vanhu vari pamusiwo.

"Handiite sewe bharanzi ini rinotenga


rudo nemapresents uye hazvichinje the
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

fact yekuti iwewe haugoni kupfimba


nxaa"

Ndakamunzwa achidaro Kenny achiridza


tsamwa . Nhaimi Kenny zvaasina
kukwana . Ndakazonzwa iye Carlton oti "
ndambonyanyokutadzira chii nhai Kenny
zvaunobva wandiudza mashoko akaoma
kudaro ? Ndaita sei ? I know kuti
handigone kupfimba saka zvine basa rei
nekugara uchindiyeuchidza izvozvo ?
Usadaro Kenny handidi kurwisana newe .
Nguva wandibvirira kubva ndichiri
kuenda kutown , handina kumboti
ndinomuda Ruvimbo ini kana zviri izvo
zvauri kurwira . Ndirikungozadzisawo
basa randakanzi ndiite "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro with a breaking voice zvekuti


zvaisada kuudzwa kuti Chero misodzi
yakatodonha .

"Whatever " akadaro Kenny achiratidza


kuti aive akuenda ndokubva kwamboita
maminitsi mashanu kwakati zii ndichibva
ndazonzwa door rovhurwa .

" Hie " akadaro nevoice raive pasi raive


rakashoshoma. Airatidza kuti aive
ambochema nekuti Chero maziso aive
akatsvuka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Maswera sei" ndakamhoresa achibva


angoti " mushe " achigadzika
mashopping bags aaive nawo pasi .
Anombogara pachair yaivemo akavhara
chiso nemaoko ese ndokuzomabvisa
akusimuka kuenda paive nezvinhu
zvaaive abva nazvo . Carlton aichena
veduwe. Apo aifitwa sei , nekuti Chero
cut yaaive auya agerwa yaimufita
zvisingaite.

Anobva atora rimwe plastic ndokubva


andigashidza. Mune mapie imomo vhura
udye " akadaro ndichibva ndatenda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuvhura kwakubva ndatanga kudya .


Umm ndaitotangawo kuidya zuva iri
pamwe nekuiona but yainaka fani .

Akazondipa box raive rakanyorwa kuti


PIZZA hanzi chikafu zvakare . Kkkk
chimwe chikafu chandaitengerwa naCarl
chakaoma . Sepizza yachona nayo ndaive
ndisingatoizivi zvakare .

Ndakavhura box ndichibva ndatorwa


moyo nezvayaive kwakubva ndatanga
kudya . Chokwadi ndakanyatsoona kuti
tiri kumusha tinenge takasaririra . Pizza
yaisavako kumusha iyi . Ndakadya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kupedza box rese ndikaona Carl atarisa


mubox . Ndofunga aifunga kuti
ndichasiya zvino akakaura . Haana hake
zvaakambotaura ndokungotora box
nezvimapapers zvaive nepie kwakubva
aisa muplastic kwakuisa pasi
ndokunditambidza magift bags .

"Imbatya neshangu zvandakutengera


Rue ndichida kuedza kukumbirawo
ruregerero pane zvandakauita tichibva
kumusha. Hameno kana ukadzifarira but
ndatenga zvichibva pakadzika dzika
pemwoyo wangu. Ndatenga size yaKaren
nekuti ndinoona Kuti mune miviri
yakaenzana . Iyi ifon wozoshandisawo .
Ndikapedza chikaranga ndichange
ndakugara kuAvondale kumba kwangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nekuti ndirikuda kuedza kuapplayira


basa mhiri kwemakungwa . Kana
razobuda ndiko kwandichaenda . For
now ndichakutsvagira teacher achange
achizokudzidzisira pano pamba kuitira
kuti pauchazodzokera kuchikoro uzogone
kusvika uchifambirana nevamwe , see
you later "

Akangotaura zvese kamwechete


asingafemi achibva atobuda ndisina kana
kupindura . Airatidza kuti airwadziwa .
Zvino ndakangosara ndakabata zvinhu
zviya zvandaive ndapiwa . Chero kutenda
chaiko ndaive ndisina kupiwa mukana
wacho . Ndakangosimuka pamubhedha
ndokunoisa zvinhu zviya pasi ndisina
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzvivhura . Ndaizotaura naye paaizouya


kuzorara . Chokwadi Kenny ndakanzwa
kumuvenga ndiye aive akonzeresa zvese
izvi.

End of chapter 14.

C H A P T E R F I F T E E N

Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hameno kuti ndingazvitsanangura


ndichiti zvii chaizvo zvandaive
ndakunzwa kana ndiri pedyo
naRuvimbo . Ndaishaya kuti ndingati
mufaro here kana kusakwana nekuti
ndaive ndoti chero ndakamutarisa
ndainzwa manyuku zvekuti
ndaitozopatika ndozhinya kunge
mupengo . Ndakamboda kufunga nhau
iya yekuti pamwe huroyi but
ndakairasira kure uko . Hakuna muroyi
akanaka saRuvimbo hazviite . She was
too beautiful to be witch .

Pandakabuda ndaive ndafunga


kunomutsvagira tumanice nice uye fon
yekushandisa but zvandakazosvika
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichiitwa naKenny ndizvo


zvakandipedza simba. Ini ndichiona
massage yake ndaive ndisina
kumbofungira zvakawanda . Ndaive
ndangozviudza kuti pamwe munhu aiita
hake majokes but panze ndipo
pandakazoona kuti airevesa .

" Saka iyezvino haachanhuwi here


Ruvimbo wacho zvawakurara kusvika
nguva dzino unaye ?" Akabvunza
ndichibva ndati " inga ndakazokuudza
wani Kenny kuti l regret zvandakaita
Ruvimbo . Pavanhu vose iwe ndiwe
munhu anofanira kuziva kuti that was
not me Kenny . Ndinotonyara nanhasi
zvekutoshaya pekupinda chaiko nenyadzi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuti ndirikutofunga kumuitira zvinhu


zvihombe chaizvo kuti andiregerere"

Ndakadaro achibva ati" haiwawo, nxaa


kuzviitisa uko . Wakanyatsoita maune
zvatinoziva tese Carlton iyezvino wakuda
kunyepera mweya yetsvina . Mweya
yetsvina yekupi iyoyo inoita kuti munhu
akweshese munhu mazino pazere vanhu?
Iyezvino nekuti wanakirwa negapu
raRuvimbo zvekusvika nguva dzino
wakamuvharira wakuda kunyepera
mweya yetsvina zvenhema . Hapana
mweya yetsvina yaunotaura apa.
Wakangorwadziwa chete nekuti
wakanzwa ndichiti ndinomuda Ruvimbo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

iyezvino wave kuda kundivharira


mukana "

"Ndinokuvharira mukana nei nhai


Kenny ? Inga unoziva kuti tirikungoita
chikaranga chete kana mazuva matatu
apera zvobva zvaperawo kana uchimuda
wotora Ruvimbo wacho " Ndakadaro asi
mukati ndisingarevesi . Kenny
aisatombofanira kurara naRuvimbo
chero zvaita sei nekuti once angorara
naye chete haaizomurega .

Kungoti zvangu ndaive ndisingazivi Kuti


vamwe vakadzi ndizvo zvavariwo here
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaive Ruvimbo . Pamwe dai ndaive


ndakamborara neumwe munhu asiri Rue
ndaizogona kuziva kuti ndizvo zviri
vanhu vese zvino ndaingozivawo Rue
chete .

"Nxaa haiwawo, unofunga asingazivi kuti


une chinhu chihombe ndiani Carl ?
Unofunga kuti ndepapi Rue paacharara
newe nedanda iroro agozonakirwa
nesuwo zvedu ana Kenny ? Unless
wakangomuita ka1 chete . Kana
zvakadaro zvinenge zvirinani nekuti
haazokwanise kukompeya kuti Carl ane
anaconda Kenny ane dora, anenge ave
kutozoda ini zvakanyanya nekuti anenge
achiti chako chinorwadza , Saka
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wakangoita ka1 here Carl ? Please tell me


the truth "

Akadaro onzwisa tsitsi achiratidza kuda


kuziva chaiko ndichibva ndatongoona
kuti ndinyepe kuti ndakangorara naye
kamwechete zvaive nani kuti nhau iyi
ikasike kupera . Chokwadi ndakaona
chiso chake chanyevenuka kuratidza kuti
aive afara .

Hameno iye akamuudza kuti nhengo diki


haigutse mukadzi ndiani nekuti ini
pandaitarisa kugoogle ndakaona
kwakanzi hakuna chinonzi nhengo idiki .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hanzi kana ichingofita muchidziviriro


chete inenge ichitori bhoo plus hanzi
chinoita kuti mukadzi anakirwe hakusi
kukura kwenhengo asi kugona
kuishandisa kwako chete uye foreplay
hanzi ndicho chinhu chakanyanya
kukosha . Zvino anaKenny ndofunga
vaizviudza kuti kukura kwenhengo ndiko
kunoita kuti mukadzi anakirwe .

Ndakamusiya asununguka zvishoma


kwakubva ndapinda mumota . Chokwadi
Kenny aitove serous nekuda Rue .
Hameno kuti musikana Shelly waaive
ambouya naye pamba achiti ndiye
waachazoda kuroora aive ofungei naye
nekuti iyezvino aive onyatsoratidza kuti
aperera pana Rue.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ugoona aive munhu ari bhoo zvekuti


musikana wake apo aive nerespect .
Chero aindiona mutown ndisina
kumuona aitouya kuzomhoresa
bamkuru . Zvino aive asingazivi hake kuti
murume aive atorwa mwoyo nemusikana
akauya kuzoripa ngozi .

Ndiri mudziva rendangariro ndichienda


kutown ndipo pakabva parira fon yangu
ndokuona ari Edwell my friend . Uyu aive
akugara kuAmerica nemhuri yake .Aive
achiri kuno kumusha ndiEvans chete .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Vekuchando " ndakangotanga


nekudaira ndichidaro achibva ati " haaa
iwe , why didn't you tell me kuti
wakaroora ?" Ndakavhundutswa
nemashoko ake ndichibva ndati "
kuroora kupi ? Ndiani akuudza
izvozvo ?"

Pfungwa dzangu dzakangomhanyira


kufunga kuti aive Evans chete aive
amuudza nezvaRuvimbo but chaive
chonyanya kundinetsa chaive chokuti
Evans wachona anenge akanzwa nani
zvaRuvimbo nekuti ndaive ndisina
kumbobvira ndamuudza nezvazvo ? Kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

angadaro ari Kenny ? Ndakazvibvunza


mibvunzo but mhinduro ndakaishaya .
Kenny aisava nenhamba dzaEvans mhani
Saka aive amuudza ndiani?

Ndakati rega ndibvunze ndizvinzwire


ndega ndichibva ndati " akakuudza kuti
ndakaroora ndiani nhaiwe ?" Akabva
aseka ndokuti " mufaro uri muvoice rako
urikuratidza kuti hausi wemunhu ane
hosha kkk" Akadaro achiseka neniwo
ndichibva ndaseka .

Kuti ndisazongorambewo ndoita kunge


bharanzi ndakabva ndati " handina
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuroora ini but kwave nasomeone" kkk


kuhumana uku , hameno kuti kana
ndaizomutorerwa naKenny Ruvimbo
wacho ndaizovaudza kuti musikana
wacho akazoendepi ?

"Wow am so happy for you bro , Saka


wakutodya bota here kana kuti uchiri
kungoita zvako zviya?" Akabvunza
ndichibva ndati " paya ndaisadya bota
nekuti vose vaya vamaindipa vaisarovesa
hana yangu . Apa ndirikunyatsodya
ndakasununguka nekuti chero ndichidya
hana yangu inenge ichanyatsokurova
kuratidza kuti she's the one "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaro ndakufunga zvandainzwa


pandaidya bota raRue . "Aiwa kana
pakadaro pakanaka wangu ndafara
zvikuru, zvino ndakutozeza kukuudza
zvandanga ndafonera chaizvo " akadaro
ndichibva ndati "aiwa taura hako usatya
"

Anobva agadzirisa pahuro pake ndokuti


" ndakuwanira basa . Pabasa pedu pari
kudiwa accountant saka ndaona sekuti
ukakasika wauya zvinogona kuita nekuti
ndatovaudza kuti munhu aripo ,
ndofunga unotsoziva kuti boss vangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanondivimba sei , Saka pandangovaudza


nezvako vabva vatoti vakumirira
mhinduro kubva kwandiri but unenge
chitodiwa after 3weeks kana zvinenge
zvichinzi wanonoka "

Akapedzisa achidaro ndichibva ndamboti


zii kunyarara. Ndaifunga kuti ndichafara
nebasa randaive ndawanirwa but
handina . Mwoyo wangu wakatorwadza
pandakafunga zvekusiya Ruvimbo .
Hongu mwana waaizobereka aisava
wangu zvake but ndaida kuvepowo
ndichimubatsirawo nepandinokwanisa
paanenge ave nenhumbu . Zvino zvese
izvozvo zvakabva zvapedza mufaro
wangu ndichibva ndangoti "waita hako
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

shamwari yangu nekundifungawo . Rega


ndigozokuudza mhinduro ndagara
kumba plus ndambokurukura nabae "
ndakadaro achibva aseka ndokuti "
ndazviziva hangu , ndongonamatira kuti
iye bae wacho abvume nekuti ndiye
munhu wandinototyira iyeye "

Zvisinei takazotaura hedu dzimwe nyaya


ndokuzodimbura nhare ndakuparka
mota . Ndakaburuka ndokutanga
ndamboenda kubarber kunogerwa
kwakuzotanga kuita shopping.
Ndakakumbira musikana aive mushop
kuti andibatsire kusarudza mbatya
netushangu tusina hill hombe
zvakanyanya nemasandles ndokuita
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzadza chaiko nezvemukati. Ndaida kuti


anofara chaiko uye kuti aone kuti imhepo
dzaive dzangosimukawo hadzo but l am
not a bad person.

Ndichipedza ndakanopinda mushop


yaitengeswa mafoni kwakubva
ndanotenga sumsung A3 ndokubva
ndabuda ndakunotenga pizza . Hameno
kuti aizokwanisa here kuishandisa foni
yacho nekuti handifungi kuti aive
akamboiita . Zvisinei hazvo pamazuva
maviri aive asara ndaizomudzidzisa
hangu . Kana aizongogona kufona
nekudaira pamwe nekunyora massage
zvinenge zvave nani , zvimwe zvese
aizodzidza nekufamba kwenguva .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazonosara ndotenga chikafu


ndatononokerwa nekudzokera kumba .
Ndaive ndakungofarira kugara ndichiona
chiso chake Rue . Hameno kana
zvandaifunga zvekumukumbira kuti aite
shamwari yangu aizozvibvuma ozove
achindishandinyarawo kumba kwangu .
ZveAmerica ndaive ndafunga kusiyana
nazvo ini . Ndaida kuti ndigozove
ndichiona Rue plus ndaida
kuzomubatsira panhumbu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazopedza zvandaida ndomhanya


mhanya chaiko zvekuti chero massage
yaKaren yaaiti ndimuigirewo calculator
itsva ndakatozoiona ndakutosvika
kumba .

Zvisinei ndakati ndaizomutengera hangu


rimwe zuva or aizongoraira daddy
vomuigira . Ndakasvika ndokuparka
mota yangu pazasi peshade paigara mota
dzaive dzisina nzvimbo mugarage
kwakubva ndaburutsa zvinhu zvangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakakutofamba kuenda mumba


ndakabva ndaona Kenny achifambisa
achiuya kwandiri fuming. Ndakatoshaya
kuti aive aitwa sei zvakare .

"Iwe Carl , sei wandinyepera kuti


wakangorara naRuvimbo kahwani iwe
wakarara naye kasingaverengeki ? Heee
sei uchida kundiita benzi Carlton?"
Akadaro maziso atsvuka misodzi
achifemera pamusoro sendere nehasha .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndianiko akuudza zvisina basa izvozvo


Kenny ?" Ndakabvunza ndiri calm
kwakubva ati" ndaudzwa naRuvimbo ,
unofunga kuti anga acharega kundiudza
iwe wakarara uchimushungurudza
nezianaconda rako ? Zvino kana
uchifunga kuti ungatenga rudo rwake
nezvipresent zvisina basa rese izvi
watambisa mari because she will never
fall for you , actually she hates you with
passion "

Akapedzisa achidaro kwakubva


ndapererwa . Nhaimi , Saka Rue anoreva
kuti audza Kenny kuti ndakarara
ndichimushungurudza ? Kutaura
chokwadi ndakarwadziwa kusvika
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pakadzika dzika pemwoyo wangu .


Handina kunge ndaziva kuti
ndaimurwadzisa zvakanyanya ini,
ndaitofunga kuti ari kuzvifarirawo .

Aya aisava manyepo zvachose nekuti


matsamwiro aKenny akandiratidza kuti
yaive yatombotaurwa nezvayo nyaya Iyi .
Zvisinei handina
chandakambomupindura Kenny
ndichibva ndatanga kufamba
ndichikwidza upstairs ndakanyarara
achibva atanga kutevera achingopopota .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tasvika pamusiwo akataura zvaaida


kwakubva afuratira kuenda . Chokwadi
ndakarwadziwa hama dzangu . Handina
kuziva kuti Ruvimbo anondivenga
zvakadaro zvekuti anditaure zvakashata
kudaro naKenny .

Hongu ndakamutadzira hangu but


zvaaive azondiitira apa ndakanyatsoona
ruvengo rwake rwese . Apa ndaive
ndisisina choice but kutongotora basa
randaive ndatsvagirwa nasahwira wangu
ndiende mhiri vasare vadanane
zvakanaka naKenny wake . Ndaizosiya
ndamutsvagira munhu aizomudzidzisira
pamba chete kusvika asununguka
mwana , then kana mwana ati kurei
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekumasix months paanenge


akukwanisa kudzokera kuchikoro
ndozorega hangu daddy vomudzidzisa
Ivo sekuronga kwavaive vagara vaita .

Ndakambochema ndiri padoor


ndokuzopinda mumba shungu dzave
nani . Ndakamupa chikafu chandaive
ndamutengera achibva adya .
Chandaingoita kwaive kuavoida eye
contact chete naye .

Ndakademba Kuti dai mazuva


aimhanyiswa ndomhanyisa zvangu maviri
aive asara zvechikaranga zvipere izvi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndiwane kudzokera kumba kwangu


ndinogadzira mapepa angu ekufambisa .

Atleast ndaive ndazoonawo Kuti hapana


chinombonyanya kugozha pamunhukadzi
Saka ndaizozvitsvagirawo wangu
wandisingatukirwe naKenny . Uyu
Edwell ndaizongomuudza Kuti
takasiyana .

Kugara muimba imwechete naRuvimbo


kwaindiwedzera marwadzo zvekuti
ndakatozoona Kuti ndibude ndimboenda
kumba kwangu ndimbonorara
ndichizorodza pfungwa dzangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndozodzoka vanhu varara ndichizoita


chikaranga chacho zvaive nani . Ndaive
ndazviudza Kuti ndaizongoita kahwani
chete ndobuda ndonorara kuroom
kwangu then mangwana makuseni
ndomuka ndisipo ndonoswera kumba
kwangu ndozongouya manheru
ndongoitazve kamwechete ndichipedzisa
chikaranga chacho . Ndaive ndakusada
kuti azoudza Kenny kuti
ndinomushungurudza .

End of chapter 15.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R S I X T E E N

Ruvimbo.

Pakabuda Carl ndakasara


ndichitambudzika . Ndaifunga kuti
pamwe zvaaive abuda achakasika
kudzoka asi ndaitozvinyepera nekuti awa
rakatopedzisira rikakwana asati adzoka .
Ndaive ndakuda kutomborara hangu
ndichimirira paaizongouyawo ipapo asi
door rakabva ratovhurwa ndokubva
Karen angopinda achimhanya kuzokwira
pamubhedha kwakundimbundira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" I missed you so much" Akadaro


achiwedzera kundimbundira ndichibva
ndaseka ndokuti " l missed you more
hanty wanga usiri kuda kuzondiona "

Ndakadaro achibva ati " ndanga ndichida


but daddy ndivo vakati ndisauye Saka
izvozvi ndangoti ndaona mkoma Carl
namkoma Kenny vabuda ndokuona
mama nadaddy vari kugarden ndichibva
ndatoti dzasairirwa ndokutomhanya
ndichiuya kuno , otherwise how are
you ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akabvunza achigara padivi pangu


akanditarisa mumaziso chaimo ndichibva
ndatarisa pasi ndokuti " am ok hangu ko
iwe ?"

Akaramba akanditarisa without saying


anything kwakuzoti pave paye " am sorry
friend "ndakaziva hangu zvaaitaurira
ndichibva ndati " don't worry yourself
friend am good . Ndihwo hupenyu
hwacho " ndaidaro ndichimupuruzira
musana kwakubva asekerera zvishoma
but achiratidza kuti haasi kufara .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndatokasika kuchinja nyaya


ipapo ipapo takutaura dzimwe dzisinei
neyandaive mukati mayo iyi . Chokwadi
akambondibvisa stress Karen
ndokuzobuda omhanya achinzwa daddy
vachitaura downstairs.

Ndakasara ndorara hangu


ndokutozomutswa namama vauya
nechikafu . Haiwa vakangozvinetsa havo .
Dumbu rangu raive rakazara pizza
yandaive ndavigirwa naCarl ini .

Ipo pandakangofunga nezvake ndakabva


ndatonzwa mwoyo wangu kurwadza.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kwaive kwatosvibaka asati adzoka ,


maybe ndini ndaive ndakutopenga hangu
nekuti aive angotaura pachena kuti see
you later, but ndaingofuga kuti ilater ye
30minutes or less ini kwete 3hrs idzi.

"Ndakuigira chikafu nhanha muka udye


" vakadaro mama ndokubva ndamuka
ndichitodzvova hangu Zvekuti chero navo
vakaseka vanyatsoona kuti ndaive
ndakazvigutira ini . Raive hombe box
repizza randaive ndadya rese riya plus
ndaive ndatanga ndadya mapie maviri
zvakare ndikamapedza ese . Kuti mombe
yakabva kusina sora chaiko.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ndakaguta ini mama maita basa


ndichakazvimbirwa nechikafu
chandavigirwa namkoma Carl "
ndakadaro vachibva vanyemwerera
vasina zvavataura ndokuti " ndakunoisa
chikafu chachona mumicrowave , Kana
wanenzara uti Carl agozokudziisira kana
adzoka "

Pavakaura zvaCarl ndakanzwa mwoyo


wangu uchida kubvunza kuti aive aendepi
but ndakanyara . Ko kana vaizoti
unomudii ndaizoti chii nhaimi ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Zvakanakai mama " ndakapindura


vachibva vandipuruzira bendekete rangu
ndokuti " it's ok my baby go and take a
shower quickly ugouya wozorora
kahwani "

Nhaimi zvandichaita body erosion


nekugeza kasingaperi . Zvisinei
ndakazongoti ivo ndivo vanhu vakuru
vanoziva zvavanozviitira Saka rega
nditevedzere .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakamuka ndokubva ndapinda


mubathroom ndokunopinda mushower
ndichibva ndageza nekukasika
ndokubuda . Apa ndakaita zvinhu zvangu
ndega nekuti paive pasina mama kana
Carl anondiitira . Ndakazora mafuta
ndokupedza ndichibva ndapinda
mumagumbeze ndisina kupfeka sezvo
dzaive dzatova nguva dzekurara .

Zvinhu zvaive zvauya naCarl ndaive


ndisina kuzombozvivhura kuti ndione
kuti mukati maive nei ? Nhaimi zvaizoda
here kuti ndivhure zvinhu zvemunhu
abuda akatsamwa . Chero iyo yaive yanzi
foni yacho ndaizoishandisa ndichibva
kupi ndichienda kupi nhaimi ini ndaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndisina kumbobvira ndakaita foni


chikuriro changu .

Ndakazongorara ndokutobatwa nehope


ndiri mudziva rendangariro.
Ndakatorara zvekuenda chaiko ndofunga
dzimwe dzaive dzave hope dzanezuro .

Ndakatozopepuka ndichinzwa
ndichibatwa nemaoko aive achitonhora
ndichibva ndaziva kuti aive Carl .
Chakandishamisa ndechekuti zuva iri
haana kumbobatidza light uye aive
asinganhuwiriri zvandakajaira.
Ndakangofungidzira kuti pamwe
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

semunhu aive akuziva paaifanira kurara


haana hake kuda zvekuribatidza .
Chainyanya kundishamisa matonhorero
emaoko acho mhani . Aisandinyerekedza
zvandaiziva achiita. Ndakazonzwa ruoko
rwakunanga kucake rangu but before
rusati rwabata ndakabva ndanzwa kuti
bhu kuita sekuti chinhu charoverwa pasi
zvine Simba . "Umm " ndakanzwa inzwi
rakadaro zvairatidza kuti munhu aive
arwadziwa ndichibva ndaziva kuti aive
Carlton chete aive adonha .
Ndakatoshaya kuti chingadaro chiri chii
chamudonhedza ndichibva ndamuka
nekukasika kuti ndinobatidza light
ndione kana asina kukuvara but before
ndasvika kwaive neswitch munhu aive
atobuda achimhanya .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hezvo zvaari mashura . Ndakatoshaya


kuti aitizei ini Carl? Maybe ainyara
kudonha hake but zvaisave nebasa hanty
vanhu vanongodonha here ? Haana
kudonha achidaka .

Ndakatarisa watch yaive kumadziro


ndokuona kuti nguva dzaiti 23:30
ndokutoona kuti paive patova pakati
pehusiku . Zvisinei hazvo
ndakazongofunga zvekurara hangu
ndamirira kudzoka kwake but this time
around handina kudzima light .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichiri kugadzirisa magumbeze aive


abvanganyuka pakadonha Carl ndakabva
ndanzwa door rakuvhurwa zvakare
achibva apinda . He was smelling fresh as
always ndichibva ndatoshaya kuti
paambouya aive asati ageza here ? Aive
akapfeka tracksuit yegrey akafitwa
zvisingaite akatopfeka nehat mumusoro
kuita sekuti munhu ane kwaaitobva .
Ndakanzwa mudumbu mangu kutamba
tamba pandakamuona , ndisingazivi kuti
waive mufaro here kana chii chaizvo
chaive choitika pandiri .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko wanga usati warara ?" Akabvunza


achigara pachair yaaive akambogara
nguva dzaaive auya nepizza kwakubva
ndati " ndanga ndarara ndikazopeputswa
nemi pamadonha pamubhedha...
maswera sei ?"

Ndakamhoresa achibva aignowa


kumhoresa kwandakaita achibva ati "
pandadonha pamubhedha nguvai nekuti
ndirikutosvikawo izvozvi?" Akabvunza
akanditarisa mumaziso chaimo ndichibva
ndati " hapana kana 5minutes mabuda
muno muchimhanya wani "
ndakapindura ndatove confused kuti asi
ndaive ndakupenga here achibva ati "
wambobatwa nehope here ?"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Yes ndatozopepuka pandanzwa


mapinda mumagumbeze " akatura
mafemo ndokuti " maybe wanga
uchirota . Zvinoitika kurota chinhu
wotopepuka uchifunga kuti Zvinhu
zvanga zvichitoitika . Ini ndakadai
ndaigara ndichirota Sekuru vangu.
Panguva dzavaipinda mumba ndinenge
ndakatosvinura ndichitoona kuti uyu
munhu uyu . Vaitosvika vogara pasofa
ririmubedroom mangu umo vototaura
neni ndichitopindura votooneka vobuda
but kuseni ndichipepuka ndaingowana
door rakakiiwa kuratidza kuti hapana
akambopinda, ndizvo ndirikukuudza kuti
zvinoitika "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndangogutsurira musoro


hangu ndichibvuma asi ummm paya
ndaive ndisiri kurota Ini . Kuti ndirambe
ndopikidza ndakaona zvisingaite nekuti
aigona kutozoona sendinopenga
ndichibva ndangonyarara .

Akasimuka kwakubvisa mbatya achibva


asara akapfeka chishort chidiki
chemukati kwakubva auya kumubhedha.
Ndakabva neniwo ndatorara hangu sezvo
ndaive ndakambogara . Haana
zvaakazombotaura kubva Ipapo Chero
kundibata chaiko . Takatoita dzinenge
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

30mins takangorara pasina anotaura


neumwe ndokubva ndazonzwa atarisa
kwandiri ndokupotesa ruoko rwake
kudumbu kwangu ndokutanga
kundifemera muhuro .

Ndakanzwa muviri wangu wese


kumerera . Akandiita zvimwe Zvinhu
zvisinganzwisisike Carl but
zvichinakidza . Takaita bonde
ndokupedza achibva mborara akati zii
akadaro. Ndakatozonzwa kukwiridzirwa
kwemadziwa kuti munhu anenge
aichema. Ndakatoshaya kuti ko zvaive
zvaita sei zvakare . Nhaimi moreva here
kuti Carl aive achiri kungorwadziwa
nemashoko aKenny .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino kuti ndimubvunze kuti chii


chirikuitika ndakatya kuzotukwa zvangu
asi ndaida . Papera chinguva anobva
amuka ndokupfeka mbatya dzake asina
kugeza kwakubva ati " nhasi
ndirikunorara kuroom kwangu have a
good night"

Akadaro achitobuda ndokubva avhara


door . Ndakasara ndakapererwa . Nhaimi
ko inga zvakwaive kwanzi mazuva ese ari
matatu tinenge tichirara panzvimbo imwe
chete wani ? Ndakarwadziwa paakabuda
Carl ndikashaya zvekuita . Ugoona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaive ndomufarira hangu Chero ndaive


ndisati ndazviratidza kwaari .

Ndakamuka kwakubva ndapinda


mubathroom ndokugeza semaudzirwo
andaive ndaitwa namama . Ndichidzoka
ndakambogara pamubhedha ndichifunga
kuti achadzoka but ndaitozvinyepera
nekuti hakuna Carl akadzoka kusvika
kwaedza . Mupfungwa dzangu
makazongouya pfungwa yekuti pamwe
ave kundisema . Hanty aive agara
akandivenga here ?

End of chapter 16.


Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R S E V E N T E E N

Narration.

Sekuru vaChido zvavakasvika pamusha


pavo vachiwana muzukuru wavo Chido
achitomona sadza vakazviseka chokwadi
nokumufungira zvinhu zvakavora
kudaro . Havana zvimwe
zvavakazombosvika vachiita kunze
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwekunanga kudura kwaigara makona


avo kuti vanoita mhiko yavo . Vanosvika
votora hari yavo yavaishandisa kana
vachida kuita mabasa avo erima .

Vanobva vakurura nhumbi dzose


ndokumonera mucheka wavo mutsvuku
ndokunogara pahari vakafunya chitsero .
Vanobva vatora munondo unova ndiwo
wavaishandisa pavanenge vachida
kudeura ropa ndokubva vaisa muhari .
Vanotora chipepa ndokunyora zita
raRunako vachibva vakanda muhari
muya vakutanga kudeketera vachiudza
kazongo nyoka yaive muhari kuti nhasi
chaiye vaive vave kuigadzirira ropa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino zvaive zvakaipira nyoka yacho yaiti


kana unenge watongogara waivimbisa
kuti nhasi ndipo pandiri kukupa ropa
yaitongobata iwayo mashoko zvekuti
kana waizorega kuita sekuvimbisa kwako
yaibva yatozviurayira munhu wainoda
yega .

"Nguva yokuti unwe ropa yasvika . Nhasi


uchange uchinwa ropa riri fresh
rerushiye . Nhasi ndirikuda kukupa ropa
rerushiye kuitira kuti uone kuti
ndinokuda kupfuura madiro andinozviita
ini "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakamataura mashoko aya


vakadongorera muhari muya .
Vachipedza kutaura naKazongo vanobva
vatanga kureverera zita raRunako .
Vachipedza kureverera vanobva vatora
girazi ravo ndokutarisa apo vakabata
munondo mumaoko kuitira kuti kana
Runako abuda vagomubaya nawo asi
Runako pagirazi haana kubuda .

Paitobuda mashowers zvawo kunge tv


yarasa signal izvo zvakavashamisa .
"Chiiko chirikuitika pavana ava ?"
Vakazvibvunza mubvunzo vachishaya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuita . Vanobva vambofunga


zvekuburitsa musha chaiwo wamai Rue
kuti vaone kana waizobuda pagirazi .
Vakashamisika kuona musha uchibuda
pagirazi but pachiratidza kuti paive
pasina vanhu .

Sekuru vaChido vakasimuka ndokurova


madziro ehozi nechibhakera nekuda
kwehasha . Chaive chonyanya
kuvagumbura yaive nhau yokuti mai Rue
vaive vaendepi vasina kuraira .

Zvino kuti vashaye Runako ivo vaive


vatogara vaudza Kazongo nezvake zvinhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaive zvisingaite zvachose . Uye chimwe


chaive chakashatira kazongo aiti
ukamuvimbisa kuti ndirikuda
kukuurayira nhingi aisada kuti uchinje .
Munhu wawamuvimbisa iyeye ndiye
waanenge achitoda.

Sekuru vaRue vakashaiwa pokubata .


Nhau iyi yaive yoda kuenda kwavaive
vasingafariri zvachose . Vasingade
kupedza nguva vanobva vangosimuka
ndokupfeka nhumbi dzavo vachibva
vabuda mudura vachifambisa. Vaida
kunoona nemeso kuti zvedi vana mai Rue
vaive vasiko here ?. Vachibuda vanosiya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakiya dura ravo ndokururama


vakananga kwamai Rue .

Runyararo plus rima raivepo


vakanyatsoona kuti zvedi paive pasina
munhu . Vanosvika padzimba dzose dziri
mbiri ndokutowana kiyi dzakatomwa
zvadzo vakaita sevachapera mweya .
Vaive vozvibvunza kuti vangadaro
vaenda kupi chaizvo ?.

Vanopinza ruoko mubhachi ravo ravaive


vakapfeka kwakubva vaburitsa kambudzi
kavo kefoni kwakubva vatarisa nguva .
Vakadikitira vachiona kuti panguva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzavaive vavimbisa kazongo kuti ropa


rinodziya richange ravepo kwaive
kwatosara 30minutes chete . Dai mai Rue
vaive nefoni zvimwe dai vakavafonera
kuti dzokai kumba izvozvi.

Vanofambisa vachidzokera kumba


kwavo vachida kunonzwa Kuna mbuya
vaChido kuti vaive vasina kuuya
vachizooneka vachitaura kwavaienda
here ? Akafamba kunge chana chitoko
murume mukuru zvekuti nenguva pfupi
vaive vatosvika pamba pavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko mai Rue nemhuri yavo vaenda


kupi ?" Vakabvunza vachisvika kuimba
yokubikira kwaive nambuya vaChido
kwakubva mbuya vaChido vati " aaa
vambouya masikati pano vachizooneka
vachiti Ivo nhasi varikunorara kuchechi
hanzi kune all-night prayer "
vakapindura mbuya vaChido ndokubva
sekuru vaChido vati " hamuna here
nhamba dzevamwe vanhu vavanopinda
navo Chechi mundipe ndivafonere
ndichivaudza kuti vavaudze kuti vauye
ndine zvakakosha zvandirikuda
kwavari ?"

"Aiwa handina, nhamba dzemunhu


wekuchechi kwavo dzandaimbove nadzo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndezagogo Shava but kubva zvavashaika


mwedzi miviri yapera zvakabva
zvangoperawo zvakadaro "

Vakapedzisa vachidaro gogo vaChido


ndokubva sekuru vaChido vangoridza
tsamwa ndokufamba vachidzokera
kudura kwavo .

Chavaive vasina kuziva ndechekuti mai


Rue mugovera waive wapfuura vaive
vaudzwa namufundisi kuti varotswa
pamba pavo paita guva regotwe ravo .
Munhu waMwari aive azviratidzwa
before sekuru vaChido vazvironga . Yaaa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndizvo zvinoitwa naMwari kuvanhu


vanomutsvaga mumweya
nemuzvokwadi . Isaiah 54 vrs 17 inoti "
hakuna nhumbi yokurwa ingapfurwa
kuzorwa newe ingabudirira, rurimi
rumwe norumwe runokukwirira
pakutonga ruchakundwa newe , ndiyo
nhaka yavaranda vaJehovha nokururama
kwavo kwandiri " ndizvo zvisina
kuzikanwa nasekuru vachido kuti
kuvaranda vaJehovha is a no go area.
Kunyangwe vakaveza dumwa rakadii
bhaibheri rinoti haribudiriri .
Vakazodzwa havarwiswe unokuvara .

Mufundisi zvavakarota hope idzi vakabva


vatokumbira prayer band yese
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kutsanyira nhau yaRunako for three days


then zuva ravaipedza mutsanyo ndiro
rakanzi veprayer band vese
kusanganisira namai Rue vaizoita
absolute fasting paizorara vanhu vari
kuall night . Nguva dzaitoreverera sekuru
vaChido zita raRunako iye aitove pakati
pevanhu kuchiimbwa ndiri mukundi
naJesu ishe wangu . Yakaimbwa nziyo iyi
zvekuti nengirozi dzehondo
dzaitungamirirwa naMichael
dzakaburuka dzikakomba ruvanze
rwechechi kuti pasambowane Kana
mweya yetsvina inopinda . Ndidzo nguva
sekuru vaChido dzavaiona mashowers
pagirazi ravo . Zvina Mwari mukati
hazvigonekwi. Ukaona uchibudirira
kuroya munhu waMwari ziva kuti ivo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mwari pachavo ndivo vatendera


zvavakaita pamuranda wavo Job . Uye
kutendera kwacho ndekwekungorwadzisa
nyama chete asi mweya usingatorwi .

Vakazobva panze vadumbirwa sekuru


vaChido voshaya zvokuita . Kwaive
nechechi vaikuziva asi kuti vanosvikako
zvaitoda vafambe 5km dzakasimba .
Zvino panguva dzavo dzisingakwani gumi
neshanu dzaive dzasara vakatoona kuti
paive pashata .

Vasati vapinda mudura vanobva


vaburitsa fon yavo kuti vafonere godobori
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wavo . Kungwara kwese kwanga


kwachipera zvino vauna kunge huku
yawira mumuchaiwa. Vakafara chose
kunzwa foni yasekuru ichipinda.

Sekuru havana kuzombotorawo nguva


kudaira . " Hello "

"Sekuru ndawirwawo
nedambudziko ,munhu wandanga
ndirikuda kuita chibayiro haasi kubatika
Saka hazvingaiti here kuti ndimirire
mangwana atange adzoka ndozoita
chikaranga chacho ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakabvunza ndokubva sekuru vati "


zvinoita kana wanga usati watopira
uchiudza Kazongo nezvazvo . Asi kana
wanga watomuudza there's no turning
back muzukuru bye ndiri mumatare"

Vakabva vatodimbura nhare ndokubva


sekuru vaChido varumanisa mazino
nehasha . Zvokwadi vakapika muhana
yavo kuti kana paizowana chinoitika
kumhuri yavo mai Rue vaizochiona chete.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vachipinda mudura vanonokumura


mbatya zvakare ndokubva vaenda
kunogara pahari paye kwakubva vati "
ndine hurombo kuti munhu wandanga
ndakuvimbisa haana kuzobatika .
Chandinongokumbirawo iyezvino
ndechekuti kana wafunga zvekuuraya
vana vangu ndokumbirawo uuraye
Soromoni nekuti ndiye ane hurombe
hunosemesa. Haana kana
chaanombobatsira pano panyika Saka
kutofa kwake ndokuzvipedza. Izvozvi
mukadzi chaiye Chero mwana haana .
Chero kuti afungewo isu vabereki vake
haatombozvifungi . Chake kuenda
kudoro kana angowana mari Saka tora
zvako iyeye nekuti ari useless"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pavakapedza Kutaura vanobva vapfeka


nhumbi dzavo ndokusimudza hari yavo
vave kuidzosera panzvimbo . Vachipedza
zvose vanobva vabuda mudura vachiita
sevachaputika nestress . Vaive
vongonamata kuti dai nyoka iya
yangoteerera zvavaiudza kuti inouraya
Solomon isiye Freddy na Tirivanhu .

Vanobva vasimudza chituro charo


ndokunogara pavo vega vakazembera
madziro emba . Zvokwadi mwoyo wavo
waidzimba nekuti Ivo vaive zvazviudza
kuti mangwana acho ndipo
pavaizomukira kuBinga . Vaive varonga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti vaizongoti vachipedza kubaya


Runako nemunondo vobva vatopinda
munzira kuenda . Zvekuzochengetwa
kwake vaive vangoti zvaizongoonekwa
nevanenge varipo ivavo , zvino apa zvose
zvaive zvaenda musango nekuda kwamai
Rue vanoda kukura musoro .

Kuti vangofuratira zvakare vasati vanzwa


kuti pavana vavo aurawa ndeupi
zvakavarambira Saka apa zvaitongoreva
kuti rwendo rwaive ragurwa negurwe .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakaita stress sekuru vaChido zvekuti


vaiti chero gonzo rikapfuura pedyo navo
richimhanya raigotukwa richiudzwa
kunzi magadziko kunge amai Chido
sekuti gonzo rine magadziko .

"Aaa sekuru vaChido ndanga


ndatokanganwa kukuudzai . Nguva
dzamabuda zuva rorereka ndasara
ndichifonerwa naTirivanhu achiti
akarova mari kukorokoza uko , hanzi
ndakatotenga Honda fit . Atondiudza kuti
arikurongedza kuti auye nemhuri yake
hanzi ndinoda kuzokuvakisirai chitwo
rooms chemarata "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro mbuya vaChido nemufaro


wese ndokubva Ivo sekuru vaChido
vangoti "zvakanaka " mbuya vaChido
vakadzokera kwavaive vabva
vokwesvaira nekuda kwecold shoulder
yavaive vapiwa nemurume wavo . Hongu
vaiziva havo kuti murume wavo munhu
aityisa but apa vakanyatsoona kuti aive
nestress chaiyo kwete yekumbotamba .

Chero zvavakapiwa sadza vakakoniwa


kana kurimedza. Vaive vangogara Zvino
vakabata foni yavo mumaoko vakamirira
kuti runhare rwavo rufonerwe .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisira vatoenda kunorara pasina


kana call yambopinda vachibva
vambonzwa mwoyo wavo kuti nyevenu .
Vakangozviudza kuti zvinoreva kuti
Kazongo aive avapa umwe mukana
wekumirira kudzoka kwaRunako
kuchechi .

Pavakangofunga izvi vakasekerera .


Vakabva vatotanga kuudza madzisahwira
avo nefoni kuti Tiri akatenga mota .
Nehanzvadzi dzavo dzaive dzakaroorwa
kwakasiya Siya dzakaisirwa massage
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzichiudzwa kuti tichasvika kuzokuonai


ikoko kana Tiri auya nemota .

Vakatozobatwa nehope kwaedza chaiko .


Vakangorara maawa maviri chete
ndokutopeputswa nefon yavo yaive
yorira . Vakatarisa aifona wacho
ndokuona ari Solomon vachibva vadaira .
Vaimuzivazve kuti kana ukaona achifona
kuseni kwakadaro anenge arara kubhawa
achihudzasa . Zuva iroro ndipo
pavaitombokandirwawo kadhora
kuecocash .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Hello " vakadaira nevoice raitidza kuti


munhu ane hope ndokubva zvanzi
naSolomoni " murikutoshama n'ai henyu
kuratidza kuti zvose zvakanaka iye Tiri
avhiiwa kunge mbudzi kunoku "

Hana yasekuru vaChido yakarova kunge


ichabuda muchifuva kwakubva vamuka
ndokugara vachibva vati " urikuda
kuedza kuti kudiiko iwe Soro ? "

"Ndati Tiri avhiiwa nebanga akafa kuno .


Vanhu vacho vamuvhiya vane mwoyo
wakashata veduwe nekuti vamuuraya
ndokubva vamubvisa nhengo dzose
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzakavanzika kusanganisira zvemukati


zvinoti mapapu , itsvo nemoyo kwakubva
vamubira nemota pamwe nemari "

Mbuya vaChido vaive vakateererawo


paitaura Solomon vanobva vangoridza
mhere kamwechete nekutodonha
nekufainta . Chokwadi regai zvakanzi
murombo haarovi chinenguvo , vaive
vafonera hama dzavo dzose
vachivavhairira kuti mwana wangu
akatenga mota . Pasina kana maawasi
mangani kwakutofoniwa kuchinzi afa .
Kutaura idi zvairwadza.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 17.

C H A P T E R E I G H T E E N

Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvandakabuda ndichienda kuAvondale


ndaive ndafunga kunogadzirisa nhau
dzemapaper angu ekufambisa . Ndaive
ndafunga kuenda kure kure chaiko
naKenny naRuvimbo wake . I was hurt
and angry zvese . Ndichibuda ndakawana
Kenny ari musitting room akabata glass
raive nejuice kwakubva ndasvika
ndichingopfuura pasina zvandataura .
Zvemashoko ndanga ndakusada hangu .

"Can we talk Carl " akasheedzera


ndichibuda pamusiwo kwakubva
ndaignowa . Ndakatosangana nadaddy
pamusiwo vachida kutopindawo mumba

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichibva ndati" ndichambosvika


kuAvondale daddy pane zvandirikuda
kunogadzirisa ndichanonoka kudzoka "

Ndakadaro vachibva vati " it's ok son but


you don't look happy is everything ok
nekuti pawambobuda uchienda kutown
wanga wakafara ?"

Vakabvunza with a concerned look


ndichibva ndati " am ok daddy don't
worry yourself " ndakaziva kuti kana
ndaizovaudza zvandaive ndaitwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

naKenny vaizomuuraya nekumurova


zvino handina kuda izvozvo.

" If you say so "vakapindura vachimira


padivi kuti ndipfuure . Ndakafambisa
ndichienda kumota kwangu.
Ndakamuona achiuya achifambisa Kenny
ndichibva ndatoreversa nekutobaya
remote ndichibva ndatobuda gedhe .
Ndakairuma tara ndatarisa kutown
ndichibva ndaona Kenny ave kuteverawo
neyake mota . Kenny chaive chironda
chemumhuno chaicho , kuti aive achiri
kudei chaiko kwandiri unotoshaya.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakangoti ndichiona kuti amira parobot


ndakabva ndatosimuka nespeed
yakapenga chaiyo zvekuti chero dai
aizotevera achimhanya sei
haaizombondiwana.

Chero aizotevera kumba kwangu


ndaisazomuvhurira gedhi. Kenny
anomboita kunge ane mhepo time time .
Kubva ipapo pandakamusiya akamira
parobot handina kuzombomuona .

Ndakasvika ndoita busy nekupindura


maE-mails palaptop kwakuzopindura
Eddy ndichimuudza kuti basa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndirikurida ndakutotanga kugadzirira


rwendo . Akafara zvisingaite sahwira
wangu.

"Abvuma here bae ?" Akabvunza


achiseka ndichibva ndati " tasvika
tikakonana shaa ndizvo ndakuda
kumbouya ikoko , kana anenge ave
serious nezvangu achandiudza "
ndakapindura ndichitorevesa achibva ati
" waita semurume ipapo Carl , munhu
ndeanotanga kugadzirisa hupenyu first
ozoroora . Vakadzi zvaunovaona
vakadaro vanoda mari ufunge , havadi
marombe vakadzi avo zvekuti
ukamuroora usina chinhu kana
akazopfimbwa neane mari kupfuura yako
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

anoenda . Tarisa zvakaitika pandiri


naClarity , akangoti aona ringa musoro
bhangu Wonder richivhaira nemari
yaraive rabva raba kuSouth Africa uko
kwave kutodyira nekutoroorwa
panhamba two . Iyezvino mari
yehumbavha yakapera iyezvino vakugara
kumusha uko vachirima madomasi .
Ukaona maondero akaita Clarity
unosemeswa iwe , ndakatosenderwa foto
rake naEvans hameno kuti aive
amuonepi ? Kuita kachembere kekwani "

Akadaro achiseka neni ndichibva


ndasekawo .Haa akatambwa rough
mhani sahwira wangu naClarity .
Musikana aimuda nemwoyo wese iyeye
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

asi zvakashaya basa ndokubva Clarie


asarudza mbinga yaive ichangopindira
mutown ndokuroroorwa . Kuroora
kwakaita Eddy mukadzi waanaye
iyezvino rwaisava rudo . Aive amutora
sepainkiller yekubvisa marwadzo aive
asiya akonzerwa naClarie . Iye Hazel
aisatoziva hake kuti airoorerwa kubvisa
stress . Akatozotanga kudzidza kumuda
vave kutogara vese uye nanhasi
vachingori vese .

Takakurukura nasahwira wangu kusvika


azodimbura nhare . Ndichipedza zvese
Ndakabva ndatorara . Kunhau dzeVISA
ndaizoenda zvangu mangwana acho
ndobva ndaziva kuti zvese ndapedza.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndambokwira pamubhedha


kuti ndimbozvambarara zvangu
kwakubva ndatobatwa nehope
ndokutozorara zvekuenda chaizvo .
Ndofunga dzimwe dzaive hope
dzekusarara kwataive taita zuro wacho
tichiita chikaranga . Ndakatozopeputswa
nefon yangu yakarira ndokungosimudza
nekutodaira ndiri kuhope ndisina kana
nekumbotarisa caller's ID .

" Hello ?" Ndakadaira nevoice raive pasi


pasi rakashoshomera kuratidza kuti
munhu aive kuhope ndichibva ndanzwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"ko urikupiko kwauri kuratidza kuti


wanga watorara ?"

Aive Kenny uyu . Dai ndaive ndaona kuti


ndiye ndisina kumbobvira ndamudaira. "
Ndirikumba kwangu urikudei ?"
Ndakabvunza achibva angoti " was just
asking sharp" kwakubva atodroppa
nhare . Ndakatarisa nguva pafon
ndikavhunduka ndichichiwana dzichiti
past 10 . Ndakaburuka pamubhedha
ndichimhanya kwakupinda
mubathroom . I took a quick shower
kwakubva ndabuda ndakupfeka tracksuit
sezvo kwaitonhora . Ndakasiya
ndagadzirisa pandaive ndakarara
kwakubva ndabuda ndakumhanya.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive ndongonamata kuti ndisanowane


daddy vachiri vakagara nekuti aitozoita
ma1 angu chete .

Ndakangoti ndichibuda gedhi ndakaitsika


mota kunge mupengo . Ndaida kuti kana
zvichinzi ndanonokesa 20minutes it's
enough. Chandakanyanya kufarira
ndechekuti kwanga kwadoka Saka
munzira manga musisina traffic.
Mushure menguva pfupi ndaive
ndatosvika . Ndakangosvika ndichibaya
remote nekutopinda . Ndakanoparka
mota yangu ndokubuda .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakaita muchinjikwa mutatu ndisati


ndapinda padoor kurikutya kuwana
daddy vagere asi ndakafema
ndichivawana vasimo . Ndakabva
ndatokwidza upstairs ndichimhanya .
Ndakazonomira ndasvika padoor reguest
bedroom apo pandakangotanga kunzwa
hana yangu kurova . Ndakashaya kuti
yairoveswa nei zvakadaro ndichibva
ndatombodzokera kukitchen ndisati
ndapinda kwakubva ndambononwa
mvura ndokumbogara pasofa zvishoma
ndokuzosimuka ndakunzwa zvirinani .
Ndakabva ndakwidza ndokuzonosvika
ndichivhura .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakavhunduka ndichiwana Ruvimbo


agere . 12am dzaive dzatochayaka .
Ndaive ndazviudza Kuti ndaisazotaura
naye asi apa ndakatoti ndibvunze chaive
chaita kuti asarare nguva idzodzo apo
asina chero kupfeka zvako . Ko hanty
zvinonzi varoyi vanotanga kufamba
pakati pehusiku here Saka ndaive
ndotofunga kuti pamwe anga ave kuda
kuenda kunoroya sezvo chero kupfeka
aive asina.

Pandakazomubvunza kuti sei wanga usati


warara ndipo pandakapererwa
achindiudza kuti aive apeputswa neni
pandakadonha pabed . Ndakaziva
zvazvaireva asi handina kuda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzviratidza kuna Rue ndichibva


ndangomuvhara nekuti dzaive hope .
Chaive chondinetsa chaive chokuti aive
asina kubatwa here ?

Izvo ndakati ndaizongozvionera ndega


kwakubva ndapinda mumagumbeze .
Zuva Iri ndakatotanga kunobata ikoko
kwacho ndichida kunzwa kuti kwaive
kusina kutota here kuratidza kuti kwaive
kwafambwa ndokubva ndafara
ndichiwana kwakaoma . Ipapo ipapo
ndakabva ndarangarira call yaKenny .
Ndakadzungudza musoro chokwadi
ndakufunga kusakwana kwemupfana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wangu . Kkkk , haaa zvakaoma .


Chokwadi Kenny kuda kubata Ruvimbo
achinyepedzera kuve Ini . Why
achitamba nezvinhu zvine chivanhu
mukati kudaro ? Haazivi kuti anokuvara
here ? Aive aenderera Zvino Kenny
aifanira kuiswa panzvimbo yake .

Pandaive ndave kupinda pana Rue ndaive


ndongonamata kuti kaoko kaye kasadaro
karipo nekuti zvaizondigozhera kuti
ndingoita kahwani asi ndaitozvinyepera
nekuti apa zvaive zvoita kunge zviviri .
Handina kana kutora nguva nekuti
zvandainzwa zvacho zvaive zvisingaite .
5minutes dzakawandisa panguva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzandakaita zvekuti ndakachema nekuti


ndainyatsonzwa kuti handisati ndatanga
. Zvino kuti ndidzokorodze ndaive ndotya
Rue kuti aizonoudza Kenny futi
ndikatukwa ndichibva ndangoburuka
nemwoyo wakaputsika ndokupfeka
hembe dzangu kwakubva ndamuoneka
ndokubuda .

Tsvimbo yaMoses yakaramba kurara


zvekuti yaive yakutondirwadza ndichibva
ndananga kukitchen ndakunotsava maice
kuti ndimboitonhodza kuda
ingadzikame . Ndakamaisa muplastic
ndokuuya nawo ndichibva ndayeuka kuti
ndaive ndisina kuzoendera Kenny

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakubva ndatopinda muroom mangu


ndokuisa morning gown rangu pamusoro
petracksuit kuvhara junior. Ndakabva
ndaisa maoko muzvikwama zverob
kwakubva ndabuda ndakuenda
kubedroom kwaKenny . Handina kuda
kuita zvekugogodza ndokungosvika
ndichivhura nekutopinda .

Akavhunduka zvekuuruka
achinodonhera kusofa raive mumba
make zvekuti pamwe dai raisavapo
pamwe dai akadonha akakuvara . Aive
asina kupfeka apo akabata chipepa
chaive nemaice chaaitovesa parutivi
rwake . Ndakabva ndachinyatsova sure

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti zveshuwa aive iye Kenny aive


apindira Rue achibva apunzirwa pasi .

" Haugone kugogodza here iwe benzi


iwe ? Muchimbuzi here muno
maunongopinda madiro ajojina ?"
Akadaro neface yaive izere ukasha zvose
nekurwadziwa ndichibva ndati " Ini ndiri
benzi ririnani rinopindira mwana wamai
varo mubedroom make risina kugogodza
pabenzi rinonopindira Ruvimbo richida
kunomubata chibharo richizviita Ini "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaro ndichibva ndaona shasha


yobwaidzika ndokubvunza mubvunzo
weapererwa hanzi " what are you talking
about?"

" Uribenzi Kenny wanzwa ? Usaone


uchindiita zvaunoda ndichikunyararira
woda kutondiona sendakapusa .
Haunyare wakaita sei ? Why uchida kuti
Ruvimbo afe achivenga sex iwewe ?
Chokwadi ungada kunopinda pandanga
ndisina kana maawasi mangani ndabva
kupinda inini uchifungidzira kuti
ungakwana ? Hauoni kuti zvawanga
uchida kuita zvakafanana nekutora
huswa wohunyika mu20litre bucket ,
kana kachikuvava kadora ikako
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

usingagoni kukapa mutemo next time


ukada kuti kanoshaiwira mutemo
pamukadzi waSimba kachadimburwa
kagonokandirwa imbwa dzidye tione kuti
uchaweta nei sezvo riri iro basa ririnani
rakanotoshanda. Ivo vasikana vako vane
nhamo chaiyo . Hameno kuti vanonzwei
pakatsono Kako vasikana vako ? Zvino
zuva ravachasangana nevarume vanenge
isu ana Simba trust me havafi vakada
kukuona mumaziso avo "

Ndakadaro ndichibva ndabuda .


Ndakamusiya akashama muromo kunge
nyana reshiri . Hanty aida kuzviona
sekuti ndiye ega anogona kutuka
nemashoko anorwadza , Zvino ndaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndamuudzirira size . Aizorara


akadumbirwa chete benzi remunhu .

Anofunga kuti iye Ruvimbo akazonzwa


kuti ndiye aive amupindira achida
kumubata aizombofa akamufarira ?
Kenny irema remunhu . Apo munhu
ndichiremba anoita zvinhu zvakaora
kudaro . Kahunhu kake akafita kurhepa
vakadzi vanenge vauya kuzosununguka
nekuti pfungwa dzake dzinoshanda
zvishoma .

Ndakasvika ndokukiya door rangu


ndichibva ndatanga kutova junior kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvimwe angadzikame but ungati


ndaitomuita worse nekuti aive
akutoyerera masiriri . Handina kana
kumbobvira ndadzikotsira hama dzangu .
Kwakunoyedza ndipo padzakandiba
zvishoma kwakubva hope dziya
dzasekuru dzatanga . Ndakavaona
vachipinda kwakubva vasvika vakagara
pasofa kwakutanga kuzhinya
vakanditarisa hanzi " mhoro chituta "

Ndakaridza tsamwa ndokuti " chituta


ndiani ?" Vakaseka havo ndokuti " iwe
unofunga kuti uri chii ? Chokwadi
munhu anosiya mukadzi ega achiuya
kuzorara achizvitonhodza nemaice blocks

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kunotonhora kudai nenhau yekusafunga


chete "

Vakadaro ndichibva ndati " murikuda


kuyedza kuti chii ?" Ndakabvunza
ndatove confused ndokubva vati "
ndinotodemba zvangu kuti dai zita rangu
rakapiwa Kenny nekuti ndiye
akangwarira . Kenny knows the
importance of communication. Kana
anzwa chinhu anoenda straight
kunobvunza kwete kufira mukati kunge
socks rurimujombo . Infect rega ndingoti
Kenny haaterere makuhwa . Pasina
communication haungaumisi musha
Simba, manzwira nzwira haavaki . Kana
unenge une zvawashora or zvawanzwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nemakuhwa , bvunza nekuti zvimwe


zvaunenge wanzwa hazvisi izvo zvinenge
zvaitika , think like a man young boy , am
so disappointed in you "

Pasina kumirira reply kubva kwandiri


vakabva vatobuda ndokuenda .
Ndakabva ndatopepukawo ipapo hana
yangu ichirova . Ndaizvibvunza kuti
vaida kuedza kuti chii chaizvo ?
Ndakaedza kubatanidza nyaya dzacho
ndichibva ndaona kwadzaibva
nekwadzaienda ndichibva ndatomuka.
Ndaifanira kuzotaura naRuvimbo kana
ndadzoka kunogadzirisa visa. Ndakabva
ndatoenda kunogeza ndokubva ndadzoka
ndochinja ndokubuda hangu vanhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachakarara . Rue ndakati


ndaizongomuona ndadzoka, handina
kuda kunomumutsa hangu ndakati regai
azorore .

End of chapter 18.

C H A P T E R N I N E T E E N

Ruvimbo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaifunga kuti sezvo Carl aive arara


mubedroon make ega he would come and
say good morning but ndaitozvinyepera .
Ndakatadza chero kumuka kuti
ndinogeza chaiko nestress . Misodzi ndiyo
yaive yongoyerera nematama angu
zvekuti chero musoro waive worwadza .
Kusemwa kwakadai uri munhu
anorarama kwaive kwakangooma
veduwe . Kuitwa kunge chinhu chakaora
kudaro ? .

Ndakatombosimudza ruoko rwangu


ndokunhuwidza ndichida kunzwa smell
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaibudapo kuti yaive kwayo here kana


kuti yaive yechidembo chakaora but
handina kana chandakambonzwa Ini .
Ndaishaya pekutangira chaipo . Ugoona
zuva ratatanga kurara tese aitoita kunge
munhu arikufarira zvaaiita nekuti chero
matauriro aakaita kuti you're beautiful
ainyatsoratidza kuti arikubva pakadzika
dzika pemwoyo wake . Kuti nditi yaive
nhau yokutukwa kwaaive aitwa naKenny
zvakandirambira nekuti Ini ndaipinda
papi pakutukana kwavo ? .

Mama vakapinda ndisina kana kuvanzwa


nekuti ndakazonzwa vondiradzika

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pachifuva chavo vachindipuruzira bvudzi


shungu dzichibva dzawedzera kundibata
ndokuchema zvekurevesa .

" Talk to me my baby, chii ? Waitwa sei ?


Arikupi Simba ? Ndakunzwa kuti
urikuchema ndichipfuura pamusiwo apo"
Vakabvunza mibvunzo hobho panguva
imwechete vachiratidza kushungurudzika
zvikuru kwakubva ndafemedzeka
neshungu ndokuti " Havana kumborara
muno ava . Vakangoita less than 20mins
varimuno vakati vakunorara kubedroom
kwavo "
Ndakapindura ndichinyatsonzwa diti
rangu richiremerwa neshungu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko hanzi zvaita sei ?" Vakabvunza


ndichibva ndati " handizivi mama pamwe
vanondisema , handinhuwi here mama ?
Munonzwawo sei kana makagara pedyo
neni ?" Ndakabvunza nekurevesa
kwangu kwese vachibva vawedzera
kundipuruzira musoro ndokuti "
haunhuwi my baby , maybe pane
zvaakashora zvaasingakwanisi kutaura
kwauri ndichati daddy vamubvunze "

Vakadaro ndichibva ndamhanyira kuti "


aiwa mama musaudze daddy, Mukoma
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Carl vanozondivenga zvakanyanya ,


kungoti ndakangobatikana Chete nekuti
munhu anongobuda asingataure
chaashora but don't worry vakauya
ndichaedza kuvabvunza kana chiripo
chavakashora " ndakadaro
ndichitorevesa . Nhaimi moti vaizofa
vakandiregerera here Mukoma Carl
vacho vakunzwa vachibvunzwa nadaddy
kuti Havana kurara mumba. Hanty
zvaitozoita chero kuti vafungire kuti
ndave kudeveloper mafeelings kwavari ,
chero Ivo mama ndaive ndisingatombodi
kuti vazive , kungoti vakandiwana
ndichichema Chete zvekuti pamwe dai
zvaisava Izvozvo ndisina kumbobvira
ndataura chinhu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Horaiti nana handichavaudzi kana


uchindivimbisa kuti uchamubvunza .
Commucation yakakosha mumba my
baby . Izvozvi pamwe zvauri kufungira
kuti anokusema hazvisizvo zvakakonzera
kuti asarare muno. Pamwe panotove
nezvimwe zvakakura but because unenge
usingakwanisi kubvunza kuti sei musiri
mufara munhu oita open up unobva
wafungirawo zvisiri izvo . Zvimwechete
naiye Simba wachona , anogona anazvo
zvaari kushora but asiri kukwanisa
kubvunza izvo zvinozoita kuti afungirewo
zvisiri izvo . Saka pauviri hwenyu
pakutoda kuti umwe amedze pride
abvunze . Simba hake haasi munhu
anofarira zvekutaura Saka anogona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kusatobvunza zvachose but am sure kuti


ukamubvunza uri iwe zvirikumudya
achataura "

Vakadaro ndichibva ndagutsurira


musoro . Zveshuwa ndaive ndazvipira
kumubvunza . Ndaive ndisingatombodi
kuti atange aita chikaranga . Ndaida
kutongoti achipinda pamusiwo
ndotomubvunza nekuti ndaive ndisiri
kubatikana zvakanaka . Hameno pamwe
ndaizodirwa rough hangu.

"Chisimuka unogeza
ndichinokugadzirira macereals, munhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ane stress haagari asina kugeza unobva


waita kunge benzi kkk" vakadaro
vachiseka vachitosimuka pabed ndichibva
neni ndasekawo ndichienda kubathroom.
Ndakazonosvika ndozvinyarira worse
nekuda kwezvaive zvakaita face yangu .
Yaiti madziwa aive akaomera
akachenuruka pamwe nemisodzi yacho ,
haaa kuita zvimwe chaiko . Chero dai iye
Carl aizondiwana ndakadaro ndipo
paaitozondisema worse .

Ndakapinda mushower ndokugeza hangu


kwakubva ndabuda ndozora mafuta .
Ndaida kumbobudawo panze ndirohwe
nemhepo sezvo anga atove mazuva maviri
ndisingabude mumba, Zvino chekupfeka
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndicho chaive chisipo nekuti ndaingove


nenight dress chete izvo
zvakatozondimanikidza kuti ndivhure
zvinhu zvandaive ndatengerwa naCarl.
Ummm maive nenhumbi dzakanaka
veduwe . Pahupenyu hwangu ndaive
ndisina kumbobvira ndakafungira kuti
ndaizopfekawo nhumbi dzakanaka
kudaro .

Ndakaburitsa katop kaive nemaruva


ered , pink and black kaive nemaoko
marefu pamwe nekaskin jean keblue
ndokubva ndatora netumasandles
twesilver twaive twakanaka veduwe .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazoseka ndaona mune zvivharangozi


zvaimecha netumabra twacho . Chokwadi
kwaCarl zvakaoma . Kuti uti akaziva sei
size yangu unotoshaya .

Ndakapfeka zvose ndokuzvitarisa


pamirror . Haa kufitwa ndokuziva Ini
guyz . Chero waiudzwa kuti ndaive
ndisina kana vhiki ndabve Gokwe
waizviramba .

Ndichingopedza kupfeka mama vakabva


vapinda nemajungle oauts .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakanditarisa from head to toe ndokuti "


wakachena nana , wakanyatsofitwa ,
kungoti Carl ane choice yakanaka y
Hake agara , hauoni chero iye machenero
aanoita"

Vakadaro vachinditambidza bowl ravaive


vakabata." Maita basa mama "
ndakadaro ndichinyaririra kwakubva
ndatanga kudya . Ndichipedza ndakabva
ndati " ndoda kumbobudawo panze kuti
ndimborohwa nemhepo mama hameno
kana zvichibvumirwa "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hazvina mhosva baby hande " vakadaro


vachitovhura door kwakubva
ndateverawo . Tichisvika pakanangana
nedoor raCarl ndakabva ndatarisa.
Ndofunga mama vakazviona vachibva
vati "haamo uyu anenge aenda kugym
kutown or kumba kwake . Anogyma
every morning "

Zveshuwa zvaingoratidza nekuti chero


chifuva chake chaive chihombe ... Regai
ndingoti aive nemuviri wakanaka zvekuti
aiti chero akapfeka shirt chaiyo anenge
akanyatsofitwa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakanyara veduwe mama pavakataura


izvozvo vachiratidza kuti vaive vaona kuti
ndaive ndakatarisa kudoor rebedroom
rake . Handina zvandakambopindura
ndichibva ndangonyemwerera nenyadzi
dzangu ndichitevera . Vakabuda neni
kwakubva tambotanga tatenderera
neyard yese ndokuzonogara pamagarden
chairs .

Taiita nyaya vachindiudza mavakiro


avaive vaita imba yavo . Kunonzi family
house yaive kuAvondale kunova ndiko
kwakakurira vana baba Carl kuimba
yababa vavo ichibva yazopiwa Carlton
sezvo iri yasazita wake .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Yaaa zvaive zvakumeka sense nekuti


ndaive ndagara ndichizvibvunza kuti
Carl aive aitenga nei imba nezera rake
iroro ?. Daddy naKaren vakauya panze
ndokuzotandara takawanda . Breakfast
yakaunzwa panze ipapo tikadya .Kenny
hameno kuti aive aendepiwo nekuti
handina kumuona . Maybe aive aenda
kubasa hake.

"Carl akarara pamba here nekuti


arikupedza kundifonera manje manje
achiti ari mutown arikugadzirisa Visa?"
Vakabvunza daddy ndichibva ndati "ehe
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakarara mumba vabuda makuseni "


ndakatoti rega ndinyepe .

Chero mama ndakavaona vachinditarisa


neziso but havana havo zvavakambotaura
kwandiri kwakuti Kuna daddy " ko
arikugadzirisa Visa arikuda kuenda
kupi ?"

"Haana kutaura uyu , pandamubvunza


angoti achiri busy zvishoma anozouya
achitaura " vakapindura daddy ini
ndichibva ndakasika kudzosera pfungwa
dzangu kumashure . Paakabuda nezuro
aive azvitaura kuti arikuda kutsvaga basa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mhiri kwemakungwa, Saka


kutozogadzirisa visa zvaitoreva kuti raive
rawanikwaka? Nguva diki diki ndaive
ndatopererwa nemufaro . Chero kuti
daddy vakazopindura kuti chii handina
kunge ndanzwa nekuda kwepfungwa
dzangu. Dai chikafu chakauya after
nyaya Iyi handifungi kuti dai
ndakakwanisa kuchimedza nekuda
kwekurwadza kwaiita pahuro pangu
neshungu . Ndakabva ndatooneka
ndokusimuka ndakudzokera mumba .
Ndaida kumbonochema ndiri
pasingaonekwi nevanhu .

Chokwadi nhaimi zvandaive ndakutoita


kunge ndisina kukwana .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nechandaichema chaicho
ndaisatochizivawo ini . Hameno kuti
ndaizviudza kuti pakurara nemunhu
tichiita chikaranga chekuzvara mwana
wengozi paizobuda rudo here ? . hameno
kuti ndaizviudza kuti ndave chii
kwaChirima other than mukadzi
wengozi ? Chokwadi
ndainyadzisa .Pandakangofunga izvozvo
chete ndakabva ndatomuka ndakupinda
mubathroom ndokugeza chiso changu
ndichibva ndazora ponds yandaive
ndatengerwa naCarl kwakubva
ndazvambarara hangu .

Ndakatozobatwa nehope kwakurara


zvekuenda chaiko . Ndakatozopeputswa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nedoor raivhurwa ndokubva Carlton


apinda akatakura mapaperbag
akafanana neanezuro aive nechikafu .
Ndakaita sendichamuurukira ndimupe
hug chaiyo asi ndakanyara zvichibva
zvangoperera pakunyemwerera .

"Hie "akamhoresa achiisa maplastic pasi


ndichibva ndati " maswera sei ?"

"Bho bho wanga watodya lunch ?"


Akabvunza ndichibva ndati " aiwa"
anobva asimudza paper bag rimwechete

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakuuya naro kumubhedha achibva


asvika achibvisa bhutsu kwakubva apinza
makumbo mumagumbeze zvandaive
ndakaita achibva aburitsa pie .

Ndakaita sendichamutorera muruoko


nditodya but ndakanyara . Zvivindi zvose
zviya zvekuti ndinoda kuuya
ndichibvunza kuti aive akatsamwei
zvakapera kuti tsvai zvikandisiya
pachena .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anoburitsa pie iya muchipepa zvishoma


kwakubva aisa kumuromo kwangu kuti
ndirume . Ndakaruma zvaaida zvacho
ndichinyara ndokutanga kutsenga
ndakavhara muromo.

Mumba makamboita runyararo


ndichidyiswa kusvika iye azogadzirisa
pahuro ndokuti "ndinokumbirawo
ruregerero Rue pane zvandakakuita
tichibva kumusha . Handizivi kuti mweya
rudzii waive wandibatawo but handisi
munhu akadaro"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro ndichibva ndati


"ndakakuregererai kare , ndaive
ndakabatikana hangu but handisi munhu
anochengeta chigumbu . Chero dai
musina kukumbira ruregerero
ndaizongokuregerai nekuti kugara
nechigumbu muhana kunoita kuti munhu
agare ari bitter Saka
kutongozvimanikidza kuregerera chinhu
chakakosha . Can l ask you something if
you don't mind"

Ndakadaro ndapfeka zvivindi achibva


angogutsurira musoro asina zvaataura
ndichibva ndati " pane zvandakaita
zvamusina kufarira here nezuro or
maybe ndine smell yakashata inobuda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pandiri yamusingafariri ? Please be


honest"

Ndakadaro ndadonhedza chiso kuratidza


kuti nyaya yandaive ndabvunza
yaindirwadza achibva atura mafemo
ndokuti " haunhuwi Rue , if l say you're
beautiful l mean those words. Chinhu
chandakangoshora chete ndechekuti
wakatadza kuudza inini kuti zvandiri
kukuita hausi kuzvifarira uchinoudza
Kenny. You should've told me kuti
ndaneta chirega or ndakurwadziwa pane
kunoudza Kenny kuti ndakarara
ndichikushungurudza. Handityise
Rue ,kana pane zvaunenge washora
unongondiudza hanty ? I know kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

unondivenga but kuudza vanhu


zvatinoita muno handifungi kuti igood
idea "

Akadaro ndichibva ndapererwa .


Ndakasimudza chiso kumutarisa ndichida
kuona kana aive serious ndichibva
ndaona kuti zveshuwa airevesa ndichibva
ndati " ati ndakaudza mkoma Kenny kuti
munondishungurudza ndiani ? "

" Hauna kutaura naKenny nezuro


pandakabuda ndichienda kutown ?"
Akabvunza mubvunzo pamusoro
pemubvunzo wandaive ndamubvunza .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaida kumuti mibvunzo haibvunzani


ndikazongozvidzora hangu kwakuti "
vakapinda muno muchangobuda
vachibvunza kuti wakaitwa kangani ,
vaitoita kunge vanondivhundutsira senge
vanoda kundirova ndichibva ndangoti
handichazivi vachibva vati
ndakabvumirei kuitwa kakawanda "

Ndakapindura achibva aseka ndokuti "


kana wakanzwa Kenny achindituka ari
pamusiwo apo , ainditukira nyaya yako .
Hanzi iwewe wakamuudza kuti
ndakarara ndichikushungurudza uye
unondivenga ndizvo uchiona
ndakanorara kuroom kwangu nezuro "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Moziva ndakapererwa . Kenny zvaari


muroyi nhaimi . Ini ndaive
ndakatotsamwira Carl ndichiti
arikundisema izvo aive atukwa naKenny
achinyepa ? I hate that guy with passion.
Chaari kuda kuedza chii ipapa asi ?

"Manyepo " ndakadaro ndakuda


kutochema nehasha . Nhaimi Kenny
zvaanoda kundikonanisa naCarl .
Chokwadi chero zvichinzi ndinopenga ,
zvinhu zvandaizotaurawo here asi
izvozvo ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Maybe anokuda " akadaro akanditarisa


mumaziso kwakubva ndangokaruka
ndati " handimude ini ndinoda imi "
ndakatozobata muromo mashoko abuda
kare kwakubva ndarara ndokufuga
musoro . Nhaimi ndaizotarisana naye sei
Carl nemashoko anonyadza andaive
ndataura .

End of chapter 19.

C H A P T E R T W E N T Y

Carlton.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pandakabuda pamba ndakanotanga


ndambonosvika kumba kwangu uko
kwandakasvika ndomboita zvegym .
Ndaitove neroom yaitogara zvinhu
zvekugymisa imomo . Ndakangonoita one
hour chete kwakubva ndageza
ndokubuda ndakupenga mutown .
Ndakanowana kusati kwavhurwa but line
ndiro ranga rakura . Ndakatozobatsirwa
ndofunga dzanga dzatove kumaten
chaiko .

Hazvina kana kumbonetsa zvekuti


30mins dzakawandisa panguva
dzandakatora ndirimo . Zvisinei

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichipedza ndakabva ndapinda


muNandos ndokutengera Rue
Nandos ,pie pamwe nepizza . Zuva iri
ndakatotenga box hombe chairo repizza
nekuti ndaive ndaona sekuti randaive
ndaenda naro nezuro wacho aive asina
kuriguta .

Zuva iri ndiro zvakare randaida


kunotaura nhau yekuenda kwangu
kuAmerica . Ugoona dai ndakaenda
kuNew Zealand kare naMalcom but
ndaingoramba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Speaking of Malcom, ndakanzwa daddy


vachiti vakafonerwa nabamkuru
vachivapopotera kuti sei wakaenderera
mberi nenhau yechikaranga Ini
ndakakuudza kuti chirega musikana
iyeye aroorwe naMalcom Ini ndozonotora
muzukuru wamudhara Dhuve kuti
azoripa ngozi . Matauriro aiita daddy
vaitoita sokuti bamkuru havana kufara
zvekuti vakatoti varikuda kuvavinga
daddy . Zvino nadaddy zvaizosangana
nekuti navowo ndihaivhiiwi . Plus
bamkuru pfungwa dzavo dzinomboita
sedzinodambuka . Hameno kuti vaida
kuti Malcom atore mukadzi atobvumiwa
nevadzimu chirudzii ? Kumwe kunamata
mwana kwavaiita kwaizosvota mhani
bamkuru .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Malcom aiti akavati jump , he would just


ask , how high . Ndiye anga atove baba
pamba sekutamba . Zvino naShelton(dad)
zvaizosangana chete.

Ndichipedza kutenga zvandaida


ndakabva ndatopinda munzira kuenda
kumba . Ndaida kunotaura naRuvimbo .
Ndaida kumukumbira ruregerero
kuitirawo kuti chero ndakuendawo kunze
kwenyika ndiende ndisina munhu
akandisungira chigumbu kuitira kuti
zvinhu zvinondifambirawo zvakanaka .
Ndainyatsomhanya chaiko kuti ndikasike
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kusvika . Mumaziso angu ndaingoona


chiso chake chete . Ugoona pandaive
ndauya nenhumbi zuro wacho ndaive
excited zvisingaite ndichizviudza kuti
ndichanomuti ave achipima nhumbi
dzandaive ndamutengera ndakatarisa, asi
zvose zvakadirwa nevanogona .

Ndakasvika ndichiwana mama , daddy


naKaren vakagara kugarden . Ndaisada
kuenda kwavari ndisati ndaona Rue but
ndakazongoendera hangu kutya
vekusanonoka kusvitsa ruoko ava. Haaa
murume airova iyeyu. Ndakafambisa
ndichienda kwavaive ndichinzwa
kunonokerwa kwakubva ndasvika
ndichimhoresa vanhu ndokusimuka .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko wakuendepi ?" Vakabvunza daddy


ndichibva ndati " ndirikuda kunoona kuti
Ruvimbo arara sei ? Ndazongobuda
ndichimusiya achiri akarara ,
ndichazodzoka totaura "

Ndakadaro ndakutokanda nhanho .


Ndainzwa kunonokerwa nekunosvika
Kuna Rue . Hameno kamwe kamufaro
kandainzwa so kana ndiri pedyo naye .
ndanngofamba nhanho shoma zvakabva
zvanzi naKaren " ummm mukadzi
akakosha pano panyika ndazozviona Ini ,
kubva zvauya Rue pano handina
kuzombobvira ndatengerwa pizza "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Roorwawo " vakadaro mama vachiseka


ndokubva ndati " don't worry tete
ndokutengerai mangwana " ndakadaro
kwakubva zvanzi " ndanga ndichitamba
hangu bro chimbofidhai muroora wangu
" Akadaro ndokubva ndakufamba hangu
kupinda mumba ndichisiya vachitaura
vose nana daddy . Karen aive nerudo
zvekuti vana vedu vaive blessed kuve
natete vakaita saye .

Ndakunosvika kubedroom ndakabva


ndarangarira kuti Kenny ndaive
ndamusiya achiratidza kuti airwadziwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nezuro . Mwoyo wangu wakarwadza kuti


ndingopfuura ndisina kumboona kuti
aive sei nekuti Kenny aisarara kusvika
masikati akadai . Ukaona Kenny asvika
kuma12 pm akarara ubve waziva kuti
anorwara . Plus vana mama handifungi
kuti vaiziva kuti anorwara ini nekuti
pamwe dai ndakanzwa vachitaura
nezvazvo . Ndakavhura door
ndokumuwana shasha yakarara yakafuga
musoro . Raive benzi haro asi aive mwana
wamai vangu ndaimuda . Hanzi
nevakuru ane benzi ndeane rake kudzana
kwaro unopururudza.

"Kenny !" Ndakamusheedza ndichivhura


gumbeze kwakuwana munhu achiita
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kudikitira . Hezvo nhaimi Kenny


zvaaitorwara . Apo aive asina kana
kupfeka hake .

"Kenny chii ? Ndepapi parikunyanya


kurwadza ?" Ndaidaro ndichimubata
bata pahuma neseri kweruoko kuda
kunzwa temperature kwakubva arubvisa
ndokurukandira kure ndokuti " siyana
neni Carl , don't pretend like you because
you don't. Chero ndikafa zvinei newe ?
Ndiwe unenge wafa here ? Siya ndife Carl
moyo wako ugofara " Akadaro
achiratidza kuti aive ochema .
Ndakatoshaya kuti aida kuedza kuti chii
kana aiti siya ndife mwoyo wako
ugofara . Aitoratidza kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akanditsamwira chaiko but kumutuka


kwandaive ndaita husiku ndaisarevesa
ini, ndaingodawo kuti anzwe kurwadza
kunoita kuudzwa mashoko chete .
Hameno kuti anoti ini waaiudza mashoko
handirwadziwi here ?

"I care Kenny , l care for you so much ,


how could you talk like am an evil person
or something? Do you think l hate you ?"

Ndakabvunza achibva ati " yes you do ,


you hate me so much Carl you're wicked ,
now get out of my room you're
suffocating me " aidaro achitofuga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musoro kuratidza kuti he meant every


word .

Nxaaa aida kutoonererwa Kenny .


Munhu ndaida kutomubatsira iye akuda
akutondishamwairira semvana yehuku .
Handina kuzomboda kuramba ndirimo
ini mumba imomo ndichibva ndatobuda .
Ndaive ndatosvotwa zvisingaite. Nguva
yekumunamata yaive yapera .
Ndaitovewo nemunhu aitoda
kunamatatwa kupfuura iye saka nguva
naye chaiyo ndanga ndisina hangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakasimudza mapaperbags angu


ndokubva ndabuda zvangu ndoenda
Kuna Rue . Kenny kana anenge oda
zvekutaura neni aizozviuyira ega . Kana
akangoregawo ndizvozvo aizopepuka
onzwa ndofona ndave mhiri .

Munhu haangatsamwiswi nekuti ndaita


bonde kakawanda nemukadzi wengozi ,
dai zvainzi Ruvimbo wacho aive amiudza
kuti ndinokuda zvaive nani , zvino
aingove busy kurwira zvaasingazivi .
Haiwawo ndezvake izvo , ngaatsamwe
aputike . Hanya nani chidhoma
chekwaChivi chakaramba maheu ane
mumera chichiti ndiri musavadha.
Ndakasvika ndichivhura door
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakuwana munhu akatorara hake but


akabva atomuka.Ndofunga aive anzwa
kuvhurwa kwedoor . Hana yangu
yakabva yarova zvakare . Chokwadi izvi
zvekurova kwehana poga poga pandaiona
Rue zvaive zvakutoenderera. Ndaitoshaya
kuti chii chaizvo chaikonzera kurova
kwayo asi ndaishaya mhinduro .

Zuva iri ndaive ndafunga kuvawo


romantic kuti andiregerewo Rue .
Forgiveness yake yanga yakandikoshera
zvakanyanya handidi hangu kunyepa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakamumhoresa ndichitoenda
kumubhedha uko kwandaida kunoita
zvekumudyisa chikafu. " Nhasi ndatenga
box hombe repizza, ndakaona sekuti
nezuro hauna kuiguta" ndakadaro
ndakamutarisa kumeso ndichisekerera
achibva anyara achivhara chiso nemaoko
ese. She was too innocent veduwe .

"Ndakaiguta" akadaro achiseka


ndichibva ndati " nhema dzako ndoda
kuona kuti nhasi uchaisiya here ?"
Ndakadaro ndichiseka naye achibva
asekawo . Zvose izvi ndaizviitira kuona
mood yake kuti yaive papi ? Ndaida
kuona kuti aive asina kunditsamwira
here ?
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pakakaona kuti aive asina kutsamwa


ndipo pandakabva ndamukumbira
ruregerero apo pandakachizopererwa
ndakuona mabasa aKenny . Chokwadi
apa ndakanyatsoona kuti Kenneth
inyoka . Chaaida kuedza kwaive
kutivenganisa chete naRue and akapotsa
abudirira. Hameno kuti aida kuzoti kana
abudirira kutirwisanisa iye ozowanei ?

"Pamwe anokuda " ndakamataura


mashoko aya ndichinzwa mwoyo wangu
kurwadza but l was shocked ndichinzwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ruvimbo achiti " handidi Kenny ini


ndinoda imi "

Paakangodaro chete akabva atorara


kufuga musoro ndofunga aive abuda
asina kutarisira mashoko acho . Hana
yangu ndakainzwa ichirova kuita
seichabuda kunze . Mashoko ekunzi
ndinoda imi aive andivhunditsa pamwe
nekundifadza zvose. Mubhurugwa mangu
makabva matosimuka ipapo ipapo
zvekuti ndaive ndakutonzwa kumuda
Rue .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakaona kuti ndikarega kuita action


Ruvimbo aizoona sendiri bharanzi .
Hanty aive amunzwa Kenny achitaura
kuti handigone kupfimba , Saka ndaida
kutomuratidza kuti ndiri chibaba .

Ndakaburuka pabed wakubva


ndadzosera pie muplastic kwakubva
ndakumura mbatya dzose ndokubva
ndadzokera pamubhedha .

"Rue !" Ndakasheedza kwakubva ati "


mhaa !"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Muka " ndakadaro achibva amuka


akavhara kumeso nemaoko kwakubva
ndati " wanga uchirevesa here kuti
unondida? please taura chokwadi Rue "
ndakabvunza ndarerekera kamusoro .n
Ndaive ndongonamata kuti asati ndanga
ndichitamba hake because l was going to
be disappointed .

"Ehee " Akadaro akatarisa pasi and l


became so emotional ndokubva
ndachema. For the first time in 27 years
ndaive ndanemusikana . Zvairwadza
hazvo kuzviudzwa but Kenny aisanyepa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Neni ndinokudawo Rue " ndakapindura


ndichipukuta misodzi ndokubva
ndamumbundira . I hugged her so tight
zvekuti ndainzwa hana dzedu
dzichiroverana .

" Nhasi tinoita zvinoitwa nevanhu vari


murudo hanty ?" Ndakadaro
ndichimubvisa chitop chaaive akapfeka .
Ndakamubvisa zvese nejean
kwakukandira pasi uko . Ndainzwa
kumukara zvakaoma zuva iri . Ko hanty
nezuro ndaive ndisina kunge ndaguta
here ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndati " let's kiss " kwaive


kutongodzidzisana iyesu pachedu nekuti
pauviri hwedu hapana aive ane
experience. Takaita izvozvo zvataigona
asi zvainakidza zvisingaite . Chero
mukaka ndakamwa zuva iri . Apa taive
takuratidza kusununguka tese nekuti
taiita tichiziva kuti tinodanana .

Takatamba mutambo zuva iri kunge


tasvikirwa . Ko zvaive zvicharegeka here
nekuda kwekamwana kaya kaive mukati
maRue . Zuva iri kanenge kaive kafunga
zvekushandisa muromo chaiwo nekuti
kaiti kakaita kunge kanoruma

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nemavende kopedza kofurdzira ndaibva


ndanzwa kunge njere dzave kudambuka .

Zuva iri ndiro randakanyatsoona kuti


ndaive ndakasaririra . Chokwadi rega
nguva yese Iyi ndaiita kunge dununu .
Bonde rinoita kuti nepfungwa dzifunge
zvakanaka . Hatina chero kuzombogara
tabuda isu naRue zuva racho . Chero
zvandaiti ndinoda kunoudza vabereki
vangu nhau yemhiri ndakati
mdaizozviona kwayedza Takadya pizza
yedu neNandos . Chero pakaunzwa
chikafu takaramba kuvhura isu . Ndiani
asi aida kukanganisa rudo rwakadaro .
Ndaida kudzidzisa baby wangu
zvakawanda . Nyangwe kubata junior
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaiye aitya Saka ndaitoita


zvekumubatisa ndiri ini . Zvino junior
wacho aingoti akangonzwa ruoko rwaRue
aibva atotanga kubuda masiriri zvekuti
chaitozopedzisira chatsva .

Ndakatozorega husiku Rue avekuti ave


kunzwa kushoshwa. Mangwana acho
ndipo paiuya Sekuru Hondohwe
kuzotaura kana nhumbu yaive yabata
sezvo raive zuva rekupedzisira .

Ndaive ndatove nestress chokwadi


yekusiya Rue ega ndichienda kubasa , apo
kuti ndirege zvakare Ini ndaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndambobvuma zvaive zvisingaite .


Ndaifanira kutoenda kubasa
ndinoshandira mhuri yangu . Zvino
hameno kana aisazosara akabatwa
naKenny iye airatidza kuti anomuda
zvekupenga kudaro .

Nyaya yacho yaitondiitisa stress chaiko .


Zvino Chero kuti ndiudze vakuru kuti
ndaive ndakudanana naRue zvaisazoita
nekuti daddy vaive vati rudo
runotenderwa kana Rue achinge
atosununguka mwana aidiwa , pasina
izvozvo hanzi rudo rwaisatenderwa Saka
hameno kuti chii chaizoitika sezvo taive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tatodanana tisati tatomboziva kuti


nenhumbu yacho yavepo here ?.

Takarara zvekuneta chaiko zvekuti


takatozomutswa namama vachitiudza
Kuti Sekuru vaive vauya . Taive takuda
kunonzwa kuti vaizoti chii ?

End of chapter 20.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

CHAPTER TWENTY-ONE

Narration.

"Yoweee !, Maiwee Kani !, Nhasi mai Rue


wazondigura kunorira . Zvokwadi
kurwadziwa nekubudirira kwaive kwaita
mwana wangu here kusvika
pakumuuraya ? Yoweee Tiri mwanangu ,
kuurawa sehuku here Tirivanhu "
vanonzwikwa vachiridza mhere sekuru
vaChido mushure mekudimbuka
kwenhare yavaive vafonerwa naSolo
achivaudza nezvenhamo dzaTirivanhu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vavakidzani pavakanzwa mhere vanobva


vatomhanyawo vachiuya kuzoona chaive
chawira umwe wavo . Vachisvika
vanowana mbuya vaChido vakadonha
pasi vakafainta apo sekuru vaChido
vachingoridza mhere vakabata gotsi
nemaoko maviri .

"Zvaita Seiko nhai sekuru vaChido


zvamabva machema kunge chana chitoko
kudaro ?" Vakabvunza baba Sammy
muvakidzani wanasekuru vachido
atoshamisika nemuchemero wakadai
waiitwa nemurume mukuru .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Panguva iyoyo mbuya vaChido


vaimukawo mushure mekunge vadirwa
migomo mitatu yemvura nevavakidzani
vana mai Sammy.

"Vana vangu voperera muvhu


sembambaira baba Samere. Zuro zuro
uno aive baba Chido , pasina Kana
makore gumi pakati Tirivanhu atevera .
Zvokwadi mwana wangu kufa achivhiiwa
sembudzi here ? Varoyi havana zororo
chokwadi , haaa rwendo runo mai Rue
vazondicheka nerakagomara "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro sekuru vaChido kwakubva


vanhu vatanga kutarisana vachitoshaya
kuti ko rufu rwaTiri rwaisangana papi
namai Rue asi hapana akakwanisa
kubvunza .

"Ndoziva kuti murikurwadziwa sekuru


vaChido but pakuzoti muroyi haana
zororo muchireva mai Rue pakazara
vanhu kudai hamuoni kuti hazviitiwo
here ?" Vakadaro mbuya vaChido
vakunzwa kunyara nehunhu hwemurume
wavo plus vanhu vaive vongozevezerana
kuratidza kuti vaive vasina kufarira
mutauriro wasekuru vaChido.
Vakatoshaya kuti ko mai Rue vaive vonzi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muroyi vaive vaita sei ? Vaipinda papi


pakupondwa kwaTiri?

"Saka Iwe unofunga kuti


zvandaimutsvaga madeko
ndaimutsvagirei ? Muroyi mukadzi
waBhure uya achiti magadziko makuru
kunge enzou . Handina kuda kukuudza
hangu nekuti ndakatya kuti
ndaizokuvhundutsa . Ndakasangana
neumwe muporofita nezuro ndichibva
kwaChavhunduka achibva andiudza kuti
ndaona mumusha menyu maitika nhamo
dzemwana wenyu mukomana anonzi
Tirivanhu , zvokwadi kumudana nezita
here hii hii hii !"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro vowedzera kupfikura sekuru


vaChido. Zvino vanhu vaive vati zii
vateerera kuda kunzwa kuti nhau yacho
yaienda nepi ? . Vanofemedzeka
neshungu ndokuenderera mberi vachiti "
madzibaba vakarondedzera zvose
zvenhau yokuwana mari kwaTiri
achizotenga mota . Akandiudza zvose
nezvekuti arikuda kuzotivakira zimba
remarata pano rekuti vana baba Sammy
negodo ravanaro vaitozotiroya chete"

Pavakataura Izvozvo baba Sammy vaive


voda kutaura asi vamwe sekuru vaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vagere pedyo navo vainzi vaDhiziri


vanobva vavatsiura kwakubva baba
Sammy vanyarara asi vairwadziwa .
Vaive vasina kumboona muvakidzani
asingatende sasekuru vaChido . Seipapa
ivo ndivo vaive vatanga kunzwa mhere
kwakubva vatomhanya vose nemudzimai
wavo kuzonzwa kuti chii chaive
chakonzera kuchema kwevasharukwa
zvinosiririsa kudaro . Zvino wacho
wavaiitira ndipo paive pasina nekuti
pamusoro pekuita zvakanaka
vaitotsindikwa .

Vanopukuta madzihwa aiyerera


nehovhorosi kwakuti " madzibaba
vakandiudza Ini kuti ndaona mwana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wenyu ashinhwa nomudzimai


wemunin'ina wenyu ane magadziko
arimudenga kunge echinyamukohoho ane
vana vatatu vasikana . Zvinotonzi rufu
rwababa Rue zvose nerwababa Chido
ruri mumaoko ake. Hanzi ane nyoka
inobhururuka yekuti akaituma kuti
Izvozvi enda kuHingirandi unouraya
nhingi , hanzi hingirandi chaiko inongoita
maawa maviri chete nespeed yainofamba
nayo . Ndiyo inonzi yakatumirwa
Tirivanhu iyoyo . Kungoti chete
madzibaba wacho ndangoita
zvekusangana wo naye munzira
handitozivi kuti ndewekupi pamwe dai
toenda tese kwavari kana Kuti
tomusheedza mazozvinzwira , Ipopaya
pamakatozouya muchindiudza kuti Tiri

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akatenga mota mbuya vaChido , ndaive


ndatozvinzwa kare ndiko ndisina
kunyanya kuita hanya nazvo"

Vakapedzisa vachidaro kwakubva vanhu


vatanga kuita mahon'era . Vamwe
ndevaipikisana nezvaitaurwa nasekuru
vaChido asi vamwe vaitobvuma nekuti
vaiti hakuna munhu angambonyepera
munhu achitaura zvinhu zvakaoma
kudaro .

"Saka madzibaba vacho vakaregera chii


kukupai kundiso Ivo vari Ivo vaive
vaoneswa zvinhu?" Vakabvunza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaDhiziri izvo zvakabvumirwa nevanhu


vese . Sekuru vaChido semunhu
asingakasiki kupererwa vanobva vati "
kundiso yandaive ndapiwa yaive yokuti
hanzi ndisvike ndivaconfronte .
Madzibaba vaive vati ndikavaudza
vaizonyara zvino ndakabva ndawana
vasipo. Vabvunzei mbuya vaChido ava
kuti ndakatambudzika sei ndichivatsvaga
mai Rue. Zvino Ini vana vangu
havaenderi mahara . Zvewake murume
waakauraya ndezvake handina basa
nazvo nekuti ihuku yakazvidyira mazai
ayo but pavana vangu pavada kutambira
apo panonyudza. Ndiko kunonzi
kutambira mudziva rine ngwena chaiko
kwaaita mai Ruvimbo "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisa vachidaro apo mbuya


vaChido vaive vongochema vachiti mai
Rue ndakakutadzirei ? Vanhu
vakashamiswa nenhau yakadai Iyi . Ugoti
hakuna aive asingavafariri muraini mai
Rue vachiti vane hunhu hwakanaka .
Zvino apa nezvavaive vanzwa vaive
vakutonzwa kuvavenga .

Nguva dzakasvika sabhuku sekuru


vaChido vakabva vatoti vaida kuti
kutsvagwe munhu anofanira kuzofumura
mai Rue vanhu vose vakatarisa . Uyu
waitove mutemo wemudunhu mavo kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kana panenge paita rufu rusina


tsarukano vaitofanira kutsvaga kuti chii
chakonzera rufu irwowo Saka sabhuku
havana kuda kurambirana nazvo . Sezvo
panga patove nemunhu aifungirwa
sabhuku vakatoti ndivo vachanotaura
nagodobori sezvo vaiti vaporofita vazhinji
vanonyepa . Semuraini umu maigara
muchisheedzwa tsikamutanda
achizotsikisa vanhu and aigara achitaura
kuti muraini muno mune munhu ane
nyoka yakaipa . Izvi sekuru vaChido
vaive vasingazvizivi nekuti vaive
vasingaendi kwatsikamutanda vachitya
kunofumurwa pamwe namai Rue vaive
vasingaendiwo vachiti chitendero chavo
hachivabvumiri kusvika pan'anga . Zvino
zuva iri vanhu vaisinzwa gaurani

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achitaura nezvenyaya yenyoka vakabva


vatoziva kuti zvinoreva kuti sekuru
vaChido vaitaura chokwadi .

"Munhu watingatoshandise ari padhuze


so far ndisekuru Chiwara " vakadaro
sabhuku . Sekuru Chiwara vaitaurwa
yaive n'anga yasekuru vaChido yaive
yavapa Kazongo .

Sekuru vaChido vakafara zvisingaiti


nekuti vakaziva kuti tsoro yavo yavaive
varonga yaizobuda bhobho pasina
kukundikana . Vaive vatofunga
kupfuudza mai Rue . Vakaziva kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

sekuru chiwara vaitozotsvaga maurayiro


avangaite mai Rue chete.

Sabhuku vaive voda kutuma vamwe


varume vemuraini kunosheedza sekuru
chiwara sezvo zvinhu zvacho zvaive
zvakungoitwa zvechimbi chimbi kuti
vauye sezvo nhau yacho yainzi inofanira
kuitwa before chitunha chauya kuitira
kuti ane ruoko pakufa kwaTiri ave iye
achabvisa mari yokutakura chitunha
kubva kukadoma kwachaive kusvika
kuGokwe. Kana munhu anenge avigwa
ndipo n'anga payaizopa mutongo kuti
muroyi aizoitwa sei ?. Zvino sekuru
vaChido vaive vasingade zvose Izvozvo.
Vaida kuti nhamo dzitoita mbiri dzaTiri
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

namai Rue . Zvekuunzwa kumusha


kwaTiri vaive vatoronga vapedza kuti
vaizosunga madhongi avo six pangoro
voenda Kadoma kunotora chitunha
chaTirivanhu . Hameno kuti vaikuziva
here kukadoma kuti kwaive kure
zvakadii kana uchibva Gokwe .
Chavaingoda rufu rwamai Rue chete
nekuti nguva yaive yareba vachiedza
kuvauraya vachivatadza .

Apa vakazviudza kuti ukaona ndatadza


rwendo rwuno handichafi ndakakuuraya
munhu zvakare . Vaiti vakafunga kuti dai
izvozvi Tiri ari munzira kuuya nemota
hasha dzavo dzaibva dzawedzera.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hazviiti kuti mutume vanhu sabhuku .


Uko ndinotoenda ndega chaiko kana imi
musisakwanisi. Mwana wangu haaendi
ega ini ,ndati Tiri arikufanira kuenda
nemuvengi wake "

Vaidaro sekuru vaChido vachitofamba


kuenda. Vanhu vakasara vakangomira
vachishaya zvekuita . Ivo ndivo vaive
vafirwa zvekuti vaifanira kugara
panzvimbo vachibatwa maoko nevanhu
asi zvose izvozvo vakazvikandira kure
uko .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vaivaona vachifamba vachipekuka


kabhachi vaitoshaya kuti asi sekuru
vaChido dzaive dzadambuka here ? Zuva
iri kwasekuru kwakaita pedyo .
Vainyatsofamba zvekuti Ivo pachavo
vaitonzwa sekuti havasi kufamba . Zuva
iri vakakademba mapapiro kuti dai vaive
nayo vabhururuka.

Vachisvika pasekuru vakafara kuwana


pasina kana munhu Sekuru vakatomira
panze asi vakazoshamisika kuona sekuru
vofamba nenhendeshure vakanongedza
nechigunwe kuratidza kuti kune
chavaiona .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Chii sekuru ?, Murikuonei ?"


Vakabvunza sekuru vaChido
vachicheuka kuda kuona chaive
chakatarirwa nasekuru asi hapana
chavakaona . Sekuru vairatidza
kuvhunduka zvikuru nekuti chero
kutaura chaiko vaive voita kunge rurimi
rwakuramba kusimuka .
End of chapter 21

C H A P T E R 2 2

Ruvimbo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndakamuka ndichinzwa muviri wangu


wakaneta . Ko Carl wacho ndoonaka
sekuti aive oitira kuonekedza kuti sezvo
raive zuva rekupedzisira. Pamwe dai
ndisina kuzocomplainer pamwe
kwaizongoyedza
ndichingoshandurudzwa .

Chinhu chaingondifadza chaive chokuti


taive tataurirana tikawirira. Kana ari
Kenny ndaida kumuavoida zvekuti
haazombondinyepera Kuna Carl
zvakare . Plus chokwadi changu chese
ndechekuti Kenny ndaive ndisingamude
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ini . Ndaive ndisina kana


zvandinombonzwa chero ndakamutarisa
ini . Ndaitorevesa pandaiudza Carl Kuti
handidi Kenny ndinoda iye chero
ndakaita zvinonyadzisa hangu . Kenny
aive asina kathat thing mhani . Chero
ndakamutarisa hapana chandaimbonzwa
ini . Zvino Carl aiti pose paaipinda
ndaitonzwa miviri wangu kufambwa
fambwa . Kumutarisa chiso chaiko hana
yangu yairova , zvino Kuna Kenny zvose
Izvozvo zvaisamboitika .

Chandaive ndongonamata chaive chokuti


Carl asazoudze vanhu kuti ndini
ndakamupfimba nekuti zvinhu
zvainyadzisa uye vaigona kuzofunga kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndiri nzenza. Isu kubva kumusha chaiko


taigara tichiudzwa kuti musikana
anopfimba mukomana haana hunhu .
Hameno kuti Chero ivo vabereki vake
vakazonzwa kuti ndini ndakamupfimba
vaizonditora semunhu akaita sei but
ndaitomuda hangu .

Plus Carl aiita kuti ndinzwe zvimwe


zvinhu zvisinganzwisisiki mumuviri
mangu . Presence yake chete pasina
zvaaita yaingoita kuti ndinzwe kufambwa
nemasvosve. Plus zvaitove nani kuti
ndiroorwe hangu nemunhu akandibvisa
umhandara than kuroorwa naKenny .
Unenge uchingoti ukaonekwa wamira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

naCarl yatove mhosva nekuti munhu


wacho jealousy aive naro hake.

Takubuda ndakamira pamusiwo


ndichibva ndati " ndokumbirawoka
musazoudze vanhu kuti ndini
ndakakupfimbai ?" Ndakadaro
ndichitorevesa nekuti aigona
kuzongovarairwa akazvitaura
ndikazosekwa hangu , Kana
kutozowanirwa chituko naKenny .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akabva amira pamusiwo akatarisa


mudenga ndokuzotarisa kwandiri
ndokuti " handisi bharanzi Rue , l know
kuti wakanzwa ndichitukwa naKenny
achiti handigone kupfimba but Chero
ndikatadza ndipo pandinganotaura
zvinhu zvakadaro ndichida kutozvisekesa
worse here ? Plus wakandipfimba papi
kana kuti wakangotaura zviri mumwoyo
mako ? Zvisinei hazvo ndinovimbisa Rue
kuti handina wandinoudza"

Akadaro achiratidza kuti aive asisina


kufara zvachose. Ndakazvishora
chokwadi. Ndaive ndisina kumbozvitora
semafungiro ake . Ndaive
ndatozvikanganwa ini Kuti Kenny
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akambomutuka achiti haagone


kupfimba . Iwo muromo wangu murefu
uyu , iyezvino zvakuita sekuti ini
naKenny tine rimwe . Pamwe chokwadi
ndaizobvuma zvinhu zvakapusa kudaro
zvekuti kunzi Carl haagone kupfimba
munhu akangosvika svika kudaro ?

"Am sorry l didn't mean it that way l was


just...."

"It's ok let's go , they're waiting for us ...


Come let's hold hands " akadaro
achitambanudza ruoko rwake Kuti
ndibate .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Asi zvaCarl nhaimi , chokwadi aida Kuti


tinopinda mumba mune vanhu
takabatana maoko? Iii chokwadi vanhu
vagoti chii nhaimi ? Ini chero zvekuti
takudanana ndaive ndisingatodi kuti
zvazvizive.

"Murikuda Kuti tiende kupi takabatana


maoko ?" Ndakabvunza ndakamira
ndakapeta maoko angu kwakubva ati "
kusitting room , asi zvakashata ? Inga
zuva riye ndakaona makabatana maoko
natete wani " akadaro akachizhinya
ndichibva ndati " Saka maitoona henyu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muchinyepedzera kuita semakatarisa


pasi ? Plus Karen musikana ka imi muri
mukomana " Ndakadaro ndichiisa ruoko
rwangu mune rwake .

Zuva raaireva raive zuva riye ratabva


kumusha paainyepedzera kutsikitsira iye
achiona hake zvese . Plus Karen
hanzvadzi dzake kusanganisira daddy
vaingomusheedza Kuti tete . Munhu
aimusheedza nezita ndimama chete Kana
kumuti Mamoe .

"Aaa iwe, handina chandakamboona ini


plus kubatana maoko nemukomana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hazvina basa zvinongoratidza Kuti vanhu


varikuwirirana chete kwete kudanana
"akadaro ndichibva ndangogutsurira
musoro .

Akatogona hake nekuti isu tichiri


kumusha taingofunga Kuti vanhu
vanodanana voga ndivo vanobatana
maoko . Kumwe kudzungaira kwacho
kwaitove kwemhando yepamusoro
chaipo .

Tichidzika mastairs meso evanhu vose


aive kwatiri . Iii kunge vachatidya
chokwadi . Ndakabiridzira kusimudza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musoro kwakuona daddy namama


vaCarl vachisekerera . Hameno Kuti
chaivafadza chaive Chii ?.

Tichipinda takakwazisa munhu wese


ndokubva tagariswa panzvimbo pedu
pataive takambogara zuva riye
randaisumiwa kuvadzimu .

Sekuru vaya vaida kudurura hakata


dzavo pasi but vakabva varega vachiseka
ndokusimudza musoro kutarisa kwatiri
ndokuti " nhai Moyondizvo, makuda
kuenda mhiri kwemakungwa muchisiya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vazukuru vababa Simba voga? Munoti


vanosara vakazvigona vega here mai 2 ?

Vakadaro Sekuru Hondohwe tichibva


tose tatanga kutarisana taive mumba
umu . " Murikuda kuedza Kuti chii
Sekuru handisi kunzwisisa ?"
Akazobvunza Carl kwakubva daddy
vagutsurirawo musoro kuratidza Kuti
vaive vasina kunzwisisawo dimikira
rasekuru .

" Vakaseka zvakare Sekuru ndokuti "


ndirikuti makatakurirwa mapatya
naMadhuve chishongo baba Simb....."
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vasati vapedza kutaura Sekuru takabva


tatanga kunzwa kukosora kwekuratidza
kunge munhu adzipwa .

Takasimudza misoro kwakuona ari


Kenny . Ugoona kubva zvataive tapinda
mumba umu ndaive ndisina
kumbomuona ini . Nhaimi ndinotoshaya
Kuti aive adzipwa nei zvakaipa kudaro
nekuti makosorero acho aive asingaite .

Daddy vaida kumhanya kunomubata but


Sekuru vakabva vavamisa neruoko
ndokubva vagara pasi . Sekuru vanobva
vatendeuka ndokutarisa kwaive naKenny
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakubva vati" Kenneth!, " Kenny


akambonyarara ndofunga aitsavaga voice
nekuti raisatobuda zvachose plus
aitopukuta misodzi .

Sekuru vanobva vadzokorodzazve


kusheedza vachiti " Kenneth!"

"Sekuru " akadaira nevoice


rakashoshomera kwakubva sekuru vati "
Kenneth!"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Sekuru " akadaira zvakare Kenny


ndokubva sekuti vati " ndakusheedza
kangani?"

"Katatu " akapindura Kenny kwakubva


sekuru vati " dzikama, ndati chii?"

"Mati ndidzikame " akapindura Kenny


akatsikitsira musoro pasi kwakubva
sekuru vati " ukazvipamha zvawakaita
paya rwendo rwuno urikufa
wazvinzwa ?" Vakadaro sekuru
kwakubva Kenny agutsurira musoro
achipukuta misodzi yaive yongoyerera
zvisina muganhu .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatoshaya Kuti chii chacho


chaaitsiurirwa nasekuru chakaita Kuti
aratidze kurwadziwa acheme zvinonzwisa
tsitsi kudaro .

"Yaaa sezvandambotaura baba Simba ,


muroora wenyu akatakura matwins, Saka
sekuziva kwedu tose kuti pamutemo
wekuripwa kwengozi matwins
haatenderwi Saka nhau yengozi
tichazoitaura kana muroora asununguka
kana zvinenge zvichireva kuti zvinenge
zvichiripo zvengozi zvacho. Hameno
pamwe mufi anenge azofunga kuzvitsivira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ega nekuti maitiro acho panhau iyi


hapana kumbobvira pashanda mafeelings
emufi , mune zvamakanzwa here nhai
Moyondizvo kuratidza kuti mapfekwa
nasomeone ndokuzongoti zvapera
nemafeelings achibva aperawo "

Vakabvunza sekuru kwakubva Carl ati "


chandakangonzwa kupfekwa nehushingi
chete nekuti ndaitya but panhau
yemafeelings ndeangu nekuti chero
nanhasi ndinongomanzwa,
handichatoziviwo kuti zviri normal here
nekuti ini ndaifunga kuti zvaingove
zvechikaranga chete zvobva zvapera "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro kwakubva sekuru vaseka havo


vachisimudza zvinhu zvavo ndokuti "
kune murume asina mafeelings
nemudzimai wake here tibviree"
vakadaro vachiseka .

Nhaimi zvaari mashura . Saka ndaive


ndave enhumbu yaCarl isiri yengozi ?
Nhaimi zvozoita sei mberi ? Hongu Carl
ndaive ndakumuda hangu asi zvaive
zvakutorevaka kuti ndaive
ndakutoroorwa naye nekuti ndaive
ndakatakura vana vake ? Kkkk chokwadi
munhu unoseka nhamo serugare . Ndaiti
ndikafunga matetepero emuviri pamwe

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nemakore angu zvozonzi ndakatakura


matwins , kutaura chokwadi zvakaoma .
Ndaitoshaya kuti vaive vafungei ini
vadzimu vachona ? Ko zvavaive
vambondigamuchira wani . Kubva havo
vaita sekuti vaive vangotsvagira havo
Carl mudzimai .

"Inga zvakaoma " ndakavanzwa mama


vachidaro mushure mekunge daddy
nasekuru Hondohwe vabuda . Sekuru
Hondohwe vaitofamba nemota yavo .

Uyu Kenny akangoti zvichipera achibva


atofambisawo achikwidza upstairs.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takuda kutosimukawo ndidzo nguva


dzaipindawo daddy vachibva vambundira
Carl zvikanzi congratulations baba
vangu , makorokoto muroora " Ini
ndakashaya chekupindura nenyadzi
ndokungonyemwerera ndakatsikitsira .
Carl ndiye akangoti "thank you daddy "

"Ko hausi kuratidza kufarira vazukuru


varimunzira wani mai Carl ?, Ini
ndaizviziva hangu kuti zvichaitika zvose
izvi . Baba vangu aisave munhu ane
mwoyo wakashata . Dai mudhara uya
akatipa muzukuru wake zvisina hutsinye
mukati dai pasina zvose izvi "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro vachinogara pedyo namama


kwakubva mama vati " ndiri kufara
hangu baba Carl but ndirikutyira Rue
veduwe , mwana mudiki uyu . Munoti
ndanga ndirikutotyira mwana hwani ko
kuzoti vaviri ? Ivo sekuru vaSimba kana
dzaive plan dzekutsvagira sazita wavo
mukadzi akanaka dai
vakangomirirawozve atanga asvikawozve
chero 20yrs hadzo pakushungurudza
mwana kudai, chokwadi anovapusha
chirudzii vana vaviri nezera rake iroro ?
"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro mama vachiratidza kuti


vaishingurudzika zvakanyanya
kwakubva daddy vakwidzanisa makumbo
avo vachizembera sofa nemusana ndokuti
" haiwa , newe unongonetsekawo
nezvisina basa iwe ? Ndiro basa
ranagynaka iroro . Tikamutsvagira vaviri
kana vatatu zvinoita bhoo . Haiwa
ungatochema zvisina basa izvozvo
uchitokona kuuya tizopemberera
vazukuru vari munzira , huya kuno "
vaidaro vachivabata ruoko vachisimuka
kwakubva mama vasimukawo vachiseka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takabva tasara tiri vaviri musitting room


takagara pacarpet kwakubva Carl
andibata maoko ese ndokuti" thank you
mama 2 "

"For what ?" Ndakabvunza achibva ati "


nekundiitawo daddy , do you know kuti
mafriends angu ese ane vana? "

Akadaro ndichibva ndati " munogovadii


vana vacho Imi murikuenda overseas"
pandakadaro chiso chake chakabva
chatosuruwara. Hameno kuti ndaive
ndataura zvakashata here iye aive aoneka
ega achiti arikuenda kuAmerica.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 22

C H A P T E R 2 3

Narration.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sekuru vaChido pavakaona sekuru


Chiwara vakuita kunge vaona zveusiku
vanobva navo vatangawo kutya
ndokufambisa vachicheuka cheuka
vachienda kuimba yasekuru yaigara
makona avo munova ndimo mavaive
vapinda . Vanovawana vachigeza chiso
muhari nemvura yaive yakasviba kuita
kunge yakuyirwa tsito .

" Sekuru ko zvaita sei ?" Vakabvunza


sekuru vaChido mapapu ari mudenga
nekutya .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Une mweya wemufi urikukutevera "


vakadaro sekuru Chiwara vachikusha
kusha mvura iya yavaive vambogeza
kumeso mumba mose nemuswe webere.
Sekuru vaChido pavakanzwa kuti paive
nomweya womufi urikuvatevera
vakavhunduka vachisimuka
ndokunomira kumashure kwasekuru
vachifemereka nokutya .

"Mweya wani urikunditevera sekuru ivo


vanhu vose vandakauraya
makavatsipika ?" Vakabvunza vatove
confused zvakanyanya kwakubva sekuru
vati " weHarare wakamutsipika here ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakabvunza kwakubva sekuru vaChido


vati " ko uyo anogonditevera chirudzii
iko kwakaenda munhu arikunoripa ngozi
yacho ?"

Vakabvunza kwakubva sekuru Chiwara


vavatarisa neziso raive rizere kuvanzwira
tsitsi ndokuti " dambudziko rako
nderokungoita zvinhu usina kufunga
zvobva zvakasika kukupandukira futi .
Ndizvo zvinoitwa chivanhu chokuripa
ngozi here zvawakaita paye ?, Ndiudze ,
ngozi yacho haisi iyo yaifanira
kuzvisarudzira here mudzimai wainoda
yega ? Waive usingafaniri kutora

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vasikana vose wovagadzika pasi then


ngozi yacho yosarudza kuti ini mukadzi
wandinoda ndeuyu here ?
Wakambozvionepi iwe kuti ngozi
inosarudzirwa mukadzi ? Haana
kunoripa ngozi mwana uya akaenda
kunowanikwa , waifunga kuti
urikumugona iwe uchimugonera , zvino
ini Chero zvacho zvawavinga pano
handisi kuda . Handidi kufira mahara ini
enda unotsvaga vamwe vangada
kukubatsira . Ndakakuudza kare kuti
handidi kuswedera kuzvinhu zvina
Hondohwe mukati "

Vakapedzisa vachidaro sekuru


vachitoturika nhava yaive nemakona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

avaive vabva kunochera musi iwoyo


pahoko yaive yakajega nhungo. Sekuru
vaChido vakaruruma nehasha zvokuti
vakashaiwa pokubata .

" Murikuda kuedza kuti chii sekuru kana


muchiti Ruvimbo akanowanikwa? "
Vakabvunza vachinzwa kutsva mukati
mechifuva chavo. Iyi ndiyo nyaya
yakavarwadza kusvika pekupedzisira .
Vakazviziva havo kuti ngozi
inozvisarudzira asi havana kuda kuti
kuiitwe izvozvo nekuti vaitya kuti
kwaigona kuzosarudzwa Chido zvinova
zvinhu zvavaisada . Asika chero vaive
vaita bad move pakungopa vanhu

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukadzi ngozi isina kusarudza yoga


vaingofanira kumudzosa kwete kuroora .

Bodo kwete Ruvimbo . Wavo Chido ndiye


wavaida kuti kuroorwe kuchirungu kwete
Rue . Apo vakapika kuti
vaitonozovasungisa chete . Vaida
kungomirira gore ripere chete vaone kuti
aisazodzoswa here kuchinzi apedza basa .
Kungoti chete havana kunge vaziva
kwacho kwavainzi vanogara kuHarare
vanhu vaya otherwise dai vakatokwira
bhazi kuendako vachitevera Rue .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Horaiti ndine zvimwe zvandazofunga ,


vanhu vaya vakandisiira nhamba dzavo ,
Rega nditovafonera nditaure navo "
vakadaro mumwoyo vachitoburitsa fon
yavo muhomwe yebhachi. Vakafara chose
vachiwana nhamba dzababa Carl
kwakubva vafona .

" Hello " vakadaira baba Carl .

" Hallo severe ndini baba vaRuvimbo


"vakadaro kwakubva baba Carl vati "
ndinozviziva ndinadzo nhamba dzenyu ,
manga mati ndikubatsirei nei ?"
Vakabvunza baba Carl kwakubva sekuru
vaChido vambobvisa foni panzeve
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachitarisa kuti dzaive idzo chaidzo here


nhamba dzavaive vafonera kana kuti
vaive varasika .

Vaive vakatarisiraka kuti baba Carl


vachazvininipisa sezvo mwana wavo ari
iye arikurara naRue vachiita chikaranga
chacho izvo zvinobva zvaita kuti ivo vave
vana mukurungai Chero hazvo zvaingove
zvekuripa ngozi chete .

" Hello muchiripo here ?" Vakavanzwa


vachitaura pafon yavaive vabvisa panzeve
kwakubva vati " eee ndichiripo severe
kkkk ndanga ndichida kuudzai kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndofunga paya takaita mistake , taifanira


kurega ivo vadzimu vozvisarudzira
mudzimai wavaida voga Saka ndanga
ndichifunga kuti kana zvichibvira
mudzose musikana tizotanga kuita
chikaranga chacho patsva . Tinoda Kuti
tizoita zvinhu zvacho negwara rakanaka
kuitirawo kuti tisazotsamwise vari
kumhepo "

Vakapedzisa vachidaro sekuru vaChido


vachisekenyeka zvisina basa vasingazive
kuti baba Carl vaive vasvotwa vanzwa
havo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Zvekudzoka hazvichaiti . Izvozvo ndizvo


zvamaifanira kufunga zuva rekutanga
chairo but makatongwa nehutsinye
zvekutadza kufunga zvinhu zvakakosha .
Zvisinei hazvo takatozosvika toita isu
chikaranga chacho ndokubva vadzimu
vagamuchira havo mudzimai wavo .
Sekuru vanga vachitova pano izvozvi
vachitoti muroora atozvitakura Saka
musachatambudzike henyu . Panga
pachiri nezvimwe zvamanga muchida
here ?"

Vakabvunza baba Carl kwakubva


Sekuru vaChido vati " aiwa ndanga
ndichingokumbirawo kuti
mundikandirewo kadho...." Vasati
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vambopedza zvavaida kutaura foni yaive


yatodimburwa nababa Carl .Vaive
vatonzwa baba Carl Kuti shasha yaive
yoda kukumbira mari . Vakaridza
tsamwa vachidzosera foni yavo
muchikwama.

Sekuru vaChido vakatura mafemo


vakatarisa pasi nenyadzi
dzokudimbirirwa nhare vachida
kukumbira mari ndokuzosimudza chiso
votarisa Sekuru chiwara avo vaitoita
sekuti vaive vasina kumboteerera havo
zvaitaurwa ndokuti " sei murikutaura
manyepo nhaimi Sekuru ? , Ndofunga
mavanzwa vanhu vakaenda naRuvimbo
vachiti akabvumiwa nevadzimu , saka
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nhau yekuroorwa kwake murikuiwana


kupi ?"

Vakabvunza Sekuru vaChido kwakubva


Sekuru chiwara vati " chingogara
nezvawaudzwa izvozvo urege kunetsana
neni . Chandiri kuda kungokuudza chete
ndechekuti Ini kushanda newe
handichakwanisi Saka woto....."

" Hamurambi kushanda neni Sekuru .


Iyezvino handichaiti zvekukumbirai
ndakutokushandisai musingadi muchida .
Muzive kuti ndine secret dzenyu
dzakawanda Sekuru zvekuti ndikadziti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

bvuu apa munoswera manyura imi.


Musada kuita zvokutamba neni nekuti
mukanditsvaga munondiwana .
Zvatakangotanga tichiita ndizvo
zvatichangoramba tichiita kusvika
nekusingaperi . As long muchiri kuda
zvekugara muno munzvimbo zvakanaka
tototamba tose tojairana . Aizve, ndinemi
mukati mechanza changu umu, regai
kuda kundipfimba mumukanwa imi. So
izvozvi tisingapedzi nguva takurai hakata
dzenyu munoshopera mubate mai Rue,
varikutofanira kufa nhasi chaiye pasina
kukundikana , zvekuti muchavauraya sei
zvave zvenyu izvo ini chandinongoda
ndechekuti vafe ndaenda ini.
Hakutofaniri kusvika masikati musati
masvika nekuti munondigumbura "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro sekuru vaChido kwakubva


vasimuka vachibuda vachisiya godobori
vakapererwa . Chero zvose zvekunzi
vaive nemweya wemufi waivatevera
vakazvikandira kure uko vatoona kuti
sekuru vainyepa dziri nzira dzekusada
kuvabatsira chete. Zvechokwadiwo
sekuru vaChido vaive nedzakarema
dzagodobori dzavaive vakachengeta
zvekuti kana vaizongozvibvujunyura
vainyura masikati machena asi kuti
vanonyepera mai Rue zvakavarambira
nekuti kwaive kusiri kutanga kuzama
kuvauraya zvichiramba . Ivo sekuru
vaChido vaitozviziva kuti kuna mai Rue

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hakutangiki . Zvino zvavaive vaiswa


pakona kudai vaive voshaiwa zvokuita .

Sekuru vaChido vakatanga kufambisa


vachidzokera kumba kwavo .
Vainyatsoziva kuti nezvavaive vasiya
vamuita aitozotevera chete .

Vakaseka havo vachifunga kutambwa


kwavaive vaitwa nasekuru godobori
vachivaudza kuti Ruvimbo akaroorwa iye
asina . Zvino mai vavo vaitozofa chete
vobva vasara vachigara navo
vachivauraya zvakanaka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Varimudziva rendangariro kudaro


vanobva vanzwa " Achimwene !,
Ndimirirei ndirikuenda kumba kwenyu "
aive munyasarandi uya wavaive
vavimbisa kupa mukadzi. Sekuru
vaChido vakasvotwa but havana havo
kuda kuzviratidza . Vanobva vatanga
kufamba zvishoma zvishoma kusvika
Achimwene asvika naiko kupfupika
kunge chidhoma .

"Mwakadii Achimwene " akakwazisa


sekuru vaChido munyasarandi ndokubva
vati " ndinofara hangu Achimwene
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

neidzo dzinoparadza idzi .


Ndakarwadziswa Achimwene . Mwana
wangu kuurayirwa mari dzake here ?"

Vakadaro sekuru vaChido ndokubva


Achimwene ati " ndazvinzwa
ndikarwadziwa zvisingaite mufunge , asi
hazvina hazvo mhosva ndichakuchengetai
ini mukwasha wenyu kana ndaroora,
nematambudziko shuwa baba . Iko
zvazongove zvenhamo hazvo asi ndanga
ndagara ndiri munzira kuuya . Ummm
nhau iya yokuti ndimire gore kuti
muzondipa mudzimai ndinoona sekuti
haiiti baba . Ndave nenguva baba ndisina
mudzimai zvino munyu wawandisa wave
kuda kumbotapudzwa . Saka ndanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichifunga kuti mungondipa kune


varipo ivavo kana nhamo dzapera "

Akapedzisa achidaro ndokubva sekuru


vaChido vamira vakamutarisa. Dai zvisiri
zvekuti vaive nemari dzake nembudzi
zvavakadya pamwe dai vakamutuka
zvino nekuda kweizvozvo zvakabva
zvavadzosera Shure .

"Asi hazvisi izvoka zvatakawirirana


Achimwene , munoti anobvepi mukadzi
wacho imi muchiziva kuti anotova
muhombe wacho ndiye akaenda kunoripa
ngozi wandaiti mumirire , ndaida
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kukupai munin'ina wake Zvino


akanyanyisa kuita mudiki tingasungwe
nemapurisa "

Vakadaro sekuru vaChido kwakubva


Achimwene vati " aiwa ndinoda uya
mutsvuku wandakaona kumba kwenyu .
Handingati ini ndakasviba kudai moda
kundipazve mukadzi mutema . Murikuda
Kuti ndigozozvarirwa zvitototo here?"
Vakadaro Achimwene sekuru vaChido
vachibva vapererwa . Nhaimi Achimwene
zvaaive oda Chido .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Aiwa Achimwene hazvingaiti . Chido


mwana mudiki haangamboroorwi
nemudhara akaita sewe . Ndine zvirinani
chaizvo zvandakatotarisira kumuzukuru
wangu Saka pana Chido ihapana hapana
wotongomirira iyeye wandiri kuda
kukupa "

Vakadaro kwakubva Achimwene ati "


izvo ndizvo zvisingaite . Ini mukadzi
mutema handidi hangu ndoda iye uya
mutsvuku "

Vakatozopedzisira vave kukandidzana


mashoko zvekuti Achimwene
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakatozopedzisira vatendeuka kudzokera


kumba kwavo vagumbuka vachipopota
kuti nhamo dzichingopera chete ndiri
kuuya kuzotora yerobhoni .

End of chapter 23.

C H A P T E R 2 4

Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Musazoudzewo vanhu ka kuti


ndakakupfimbai " kkkk ndikamafunga
mashoko aya ndinoseka chokwadi. Chero
zvichinzi ndiri benzi rakaita sei, ndipo
pandaizotaura zvinhu zvinondidzikisira
kudaro here ?. Chero Kenny chaiye
mwana wamai vangu ndaisazombofa
ndakamuudza ini . Zvisinei hazvo kuside
kwangu zvaive zvabhadhara . Kwaiti
musikana zvese nevana vaviri vanga vari
munzira .

Nhaimi ndozodei? Ndiko kwainzi


kurangarirwa nedenga chaiko uku. Zvino
nhau imwechete yaive yondinetsa yaive
yokuenda kumhiri ndichisiya Rue ega
nenhumbu apo vari vana vangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vekutanga. Ndaida kumubatsira kusvika


asununguka ndichinyatsoona kuti zvose
zvakarongeka. Zvino kuti ndirege kuenda
zvakare zvaive zvisingaite.

Dai ndaive ndisina kumbogara ndabvuma


kuti basa ndinorida zvaive nani. Chero
iye Eddy chaiye haaizombofara kana
ndaizomuudza kuti handichakwanisi.
Haaizofa akandibatsira zvakare. Zvisinei
ndakazongoti ndichataura nadaddy
ndinzwe kuti vaitiwo chii nazvo . Taive
tisina kuzombobvira taitaura ka
vakufarira vazukuru. Zvisinei
pakabvunza Rue ndakangomuti
tichazotaura nezvenyaya yacho nekuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chero iye aitoratidzawo kuti haasi kufara


nenhau yokuenda kwangu.

"Ngatimboenda panze tinodziya mushana


babe " ndakadaro ndichisimudza Rue
kwakubva ndabuda naye. Takanogara
hedu pamachairs takazambira mushana
kunge madzvinyu.

"Saka unoda kuti vana vatumidzwe kuti


Chii kana vazvarwa?" Ndakabvunza
achibva ati " hameno kwamuri" aidaro
akatarisa pasi. Ruvimbo ainyara hake.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hameno kwandiri kuita sei kwacho nhai


Rue? Hanty vana ndevedu tese here?
Hazvina kumbonzi murume ega ndiye
anotenderwa kutumidza vana mazita
saka kana unaro rawakangokura
uchifarira kuti iri ndiro randichazopa
mwana wangu kana ndava naye
sununguka hako kutaura "

Ndakadaro achibva ati " kana pane


musikana ndoda kuti anzi Cassandra
"akadaro achivhara kumeso nemaoko ese
kwakubva ndamubvisa maoko kumeso
ndichiti"it's a nice name wani nhai Rue
saka ukunyarei? Ok ini kana pane

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukomana ndoda kuti anzi Cassim ,saka


toti Cassandra and Cassim in short mama
nababa Cassy "ndakadaro achibva
asekerera kuratidza kufarira.

"Saka moda kutanga rini zvechikoro nhai


mama vaCassy ?" Ndakabvunza
ndakamurarisa musoro pachifuva changu
ndichipuruzira bvudzi rake kwakubva
ati" chero pamunenge mangonditsvagira
teacher wacho chero nhasi" akadaro
ndichibva ndagutsurira musoro dzinova
ndidzo nguva dzaisvikawo daddy.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndinokumbirawo baba 2 zvishoma


muroora vanouya havo "vakadaro daddy
ndichibva ndati " ndinonzi Baba Cassie"
Ruvimbo akabva asimuka achiseka
achienda mumba kwakubva daddy
vagara pachair yaaive akagara ndokuti "
ko vatove nemazita?" Vaibvunza
achiseka kwakubva ndati '" ehee umwe
ndiCassandra umwe Cassim "

"Inga zvakaoma, ko zvino kana vakave


vakomana vese or vasikana vese? "
vakadaro vachiseka zvakare ndichibva
ndati "tichazongozviona ipapo"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanobva vatura afemo ndokuti "


congratulations once again my boy,
chandangonyanya kufarira ndechekuti
mudzimai wako mwana akabva kuvanhu.
Trust me haambofi akakunetsa Ruvimbo.
Kungoudza kuti izvi handizvide
otobvuma but handirevi kuti
mudzvanyirire . Kana une zvaunenge
wafunga kuita mubvunzewo maonero ake
move muchironga pamwe samai nababa
mumba "

Vakadaro ndichibva ndati "thank you


daddy "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ipapa ndirikupedza kufonerwa


nabamkuru vake vachihumana hanzi
dzosai musikana tizoita chikaranga
patsva kuitira kuti tisazotsamwisa
vadzimu. N'anga yavo inenge yakavaudza
kuti makairasa kuendesa Rue
kwamakaita saka iyezvino vanenge
vakuda kuunza wavo muzukuru
wavaimboti vanoda muchato kubva
kwaari. Zvino ndavaudzirira dzikazara,
apo kuda kuzokumbira mari, haiwa baba
vane udyire hunotyisa vaye"

Vakadaro ndichibva ndati " zvino


havazotisungisi here kuti takatora mwana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ari underage tichiti arikuzoripa ngozi iye


achizoroorwa? " ndaive ndisingavavimbi
ini baba vaye , vaigona kungonoman'ara
kumapurisa vakatoiramba nhau yengozi
tikasungwa hedu .

"Haiwawo , hapana zvavanomboita vaya.


Vakangwarira paduri sehuku baba vaye
plus ndakavarecorder kubva musi
wekutanga chaiwo kusanganisira necall
yanhasi chaiyo ndairecorder saka
kutonoreporter kuzvisungirira chaiko "
vakapindura daddy ndichibva ndafema.
atleast zvaive zvave nani nekuti
chandakaona pana bamkuru vaRue
vanenge vaingoshuvira mhuri yana Rue
kuti itambudzike .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko iwe ndiudze, nyaya yandanzwa


sekuru Hondohwe vachitaura yemhiri
kwemakungwa iri kufamba sei ?
Haunaka kumbobvira watiudza nezvazvo
" vakadaro ndichibva ndatura mafemo
ndokuti" ndatove nestress daddy .
Ndakawanirwa basa kucompany yana
Eddy , kurikudiwa accountant saka Eddy
akabva angotanga kufunga ini ndichibva
ndabvuma and the salary is good zvekuti
kunopera kwegore ndinenge ndatenga
chero purazi chairo zvino kuti ndichienda
ndichisiya Rue akazvitakura handisi
kuona zvichiita ini. Nezuro ipopaya
pamakafona ndaizove paline revisa saka
zvinhu zvose so far zvatorongeka ndanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndangobatirirwa nenhau yechikaranga


iyi"

Ndakadaro nechiso chaive chizere


kushushikana kwakubva vati " aiwa
kubasa ndokwekutoendwa baba Cassie ,
mukana wakadai hauwanikwi kaviri.
Hongu zvingaite sekuti hauna hanya but
mangwana vana ivava vachada kudya
zvose nekupfeka. Tarisa uone kuti
business rako ririkugomera sei
kusimuka . Enda kubasa mwanangu,
tiripo isu tinosara navo mai Cassie
takavatarisa . Kana vasununguka tichaita
zvekupa vana formula vove vachisara
namama ivo voenda kuchikoro. Enda
unogadzira upenyu hwako nehwemhuri
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yako my boy , watokuraso , so far


ndatokusiya nemwana umwechete kkk"

Vakadaro tichibva taseka. Neniwo


ndakaona sekuti vaitaura zvine musoro
daddy saka ndakabva ndatobvuma
hangu . Ndaizove ndichitaura naye pafoni
Rue. Kana ndikanoona kuchiita
ndaizomutsvagira nzvimbo ikoko ouya
nevana ozoenda kuchikoro . Vana daddy
kunoroora vaizongoenda chero asipo.

Pandakangofunga izvozvo chete


ndakabva ndatowana simba. Ndine imwe
nhau yandakabva ndafunga ndokubva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndati "ko kuAvondale ndichaita sei nhai


daddy ?kurikuda munhu anosarako?
Mazuvano naKenny hatisi
kunyatsowirirana pamwe dai
ndokumbira iye kuti anosarako nekuti
hazvingaite kuti kusare kusina munhu "

Vakambotora kachinguva zvishoma


vakanyarara kwakuzoti " hameno kuti
zvinoita here but ndanga ndichifunga kuti
kuuye mama vemudzimai wako vazogara
havo nekuti kutaura chokwadi ndinoona
sekuti kumusha kuya vari mujeri chaimo
nababa vaya , plus zvinenge zvave nani
kuti vanenge vave pedyo nemwana wavo .
Unoti mwoyo wavo unenge
wakagadzikana here izvozvi ?plus
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanenge vozobatsirana vana nambuya


vaCassie. Hameno kana vanenge
vachibvuma havo , tinenge tichibatsirawo
nechikafu nekuvapawo mari yestart kuti
vatangewo musika vagokwanisa kuve
vachizvisaporta "

Vakapedzisa vachidaro ndichibva


ndakasika kufarira idea yacho . Yaive
yakanakisa zvekuti chero iye Rue ndaiona
kuti anogona kuifarira.

"Ipfungwa yakanaka daddy regai


ndigotaura namai Cassie ndinzwe kuti ivo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanotiwo chii nazvo ? Zvino problem


ndeyekuti mbuyawasha havana foni "

Ndakadaro asi daddy vasati vapindura


tinobva tanzwa mama vachitaura pafoni
vachiti" ugoona varikupedza kubuda
izvozvi natete vake hanzi tichambonodya
maice cream mutown .Horaiti
ndichakufonerai kana vadzoka
mugotaura navo. Aiwa zvakanakai
severe, ava sekuru vatwo pano " vaidaro
vachitambidza daddy foni hanzi "
ndisevere mai Rue varikukumhoresai
hanzi ndiri munzira kubva kuchechi
kwavakarara ."

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Daddy vakagamuchira fon ndokutanga


kutaurirana naambuya vangu.
Vainyatsonzwika kusununguka kwavo
kwese nekuti vaitoseka chaiko .
Ndakazonzwa daddy vakuti "
makaregerei kutichengetera huku
idzodzo takazodzitora tikadya nyama,
moti mukwasha wenyu angatadze
kukutengerai foni here severe ?"
Zvaitaurwa namama mai Rue taisanzwa
hedu asi maitiro acho aiita sekuti mama
vaRue vaive vatenga fon nehuku.
Ndofunga mwoyo waive warwadza kuda
kunzwa kuti mumvana ari sei ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazosimuka ndakupinda mumba umo


mandaida kunotaura naKenny
ndichimuudza nezvekuenda kwangu uye
kuti he should stay far away from
Ruvimbo . Ndakasiya daddy vachitaura
namukurungai vavo mama vakagara
padivi. ZvaRue ndaive ndatonzwa kuti
vaive vabuda natete vake vachinotenga
maice cream saka ndaizongovaona
vadzoka. Tete aive nako kamota kake
kaToyota yaris.

Ndakakwidza mastairs kwakubva


ndangosvika ndichivhura mubedroom
naKenny umo mandakawana achichema
zvakaipa akagara pasi chaipo pafloor apo
achidikitira kunge adirwa mvura. Ndaida
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kubvunza chaaichema but ndisina


kutarisira ndaive ndachigadzikwa
chematsenganzungu naKenny zvekuti
ndakanzwa dzangu, hanzi " ndakakuudza
kuti chii nenhau yekusagogodza kana
uchipinda mubedroom mangu?
Wakutozviona sekuti une kodzero yekuita
zvose zvaunoda nekuti wakamitisa
Ruvimbo matwins? Heee, ndiudze Carl?"

Aiita kupupuma nehasha Kenny . Ndaive


zvino ndangobata pashaya paye pandaive
ndachigadzikwa . Ndaive ndarohwa
ndisina kutarisira zvekuti pfungwa
dzangu dzakambomira kufunga
zvishoma . Aive andirova nesimba rake
rose zvekuti ndakarwadziwa . Izvi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaingove pachena kuti nhau yekunzi


Ruvimbo ane nhumbu yangu yematwins
ndiyo yakamurwadza .

End of chapter 24.

C H A P T E R 2 5

Sekuru vaChido .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazosara ndosvika kumba


ndadumbirwa . Achimwene aida
kundijairira kutaura chokwadi. Shuwa
nekushata kwaakaita kunge chimpanzee
kuye ndigomupa muzukuru wangu
akanaka kudaro ndinopenga here ini ?
Vanhu vaaingofanira kuroora vana
vamai Ruvimbo chete.

Aiwa aaa , mudhara aive akashata


zvekurevesa ka uya . Kupfupika chaiko
aiita kunge chidhoma , agoti kusviba ...
Kkkk yowe zvangu rega ndiseke , vanhu
vagotobvunza Kuti nhai sekuru vaChido
mukwasha zukuru wenyu ndoupi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndotosimudza ruoko ndichinongedzera


Achimwene , Haiwa bodo , apo ndaramba
zvangu . Kana zvinenge zvichireva kuti
haasi kuda kumirira Ruvimbo then
ngaaende anofa uko achimisa ziditi kunge
redendera . Kwanzi ndoda yerobhoni ,
zvokwadi anofunga kuti neumhondi
hwake ihwohwo ndingamupe muzukuru
wangu ini ? Chero dai akati arikuzoroora
nenzou gumi handitombodi zvachose .

Zvake zvekuti anzi anoroya izvo


ndezvekupenga . Kana achiroya anoroya
vamwe Kwete ini . Uye kana achifunga
kuti achazowana mari kana mbudzi
dzandakadya ngaafunge futi nekuti
kwandiri hapana chaari kuzowana ibenzi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

remunhu . Ndaive ndatofunga


zvekuenderera mberi nerwendo rwangu
rweBinga . Iyezvino ndaive ndakufambira
vanhu vaviri zvino , Ruvimbo
naAchimwene .

Kana zvaireva kunotsvaga iri mheni


chaiyo kuti ndizomuputitsa nayo ndaive
ndazvipira . Achimwene aive
andidzikisira kusvika pekupedzisira .
Shuwa kutokakavadzana neni nekuda
kwemuzukuru wangu ini , haa bodo aive
aenderera , ndaifanira kumuisa
panzvimbo yake chaiyo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakunosvika pamba ndakabva ndaona


nyoka iya inonzi ndara yakaita banga
pamusana apa yakarara yakachinjika
nzira . Ummm nyoka iyi yaisangoonekwa
nekuti yaishura . Ndakatoshaya kuti
yaindishurira chii ini nekuti mwana
wangu aive atofa kare . Ndaifunga kuti
sezvo yaive yanzwa mutsindo kuti kune
munhu ari kuuya zvimwe ichatirimukawo
yofamba kubva munzira but
ndaitozvinyepera hangu nekuti
yakaramba ichingova panzvimbo Imwe
chete . Hameno kuti yaida kumbozviona
sani ? Zvino yakaita zvayo munyama
wekundiwana ndichitovawo nestress
dzangu zvangu . Ndaiti Achimwene nedivi
ndoti Chiwara nedivi . Hameno kuti vaida
kuti ndifemerewo kupi ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Iwe buda munzira umo , usada


kundishamisirira unozvinwa ? Kana
watumwa enda unoudza akutuma kuti
kuno kwangu kumukwidza .
Handivhundutsirwi nemagaba
semhembwe ini . Ndinotogara neimwe
nyoka yakakura kukupfuura rugumi ini
handidi zvokufarisirwa . Kazongo chaiye
haandiitiri mashura aunoda kundiitira
aya. Buda munzira yangu Izvozvi ndisati
ndakukanganisa zanga remunhu"

Ndakadaro ndichipopota kwakubva


yasimudza musoro kunditarisa . Nxaa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nyoka yaidherera iyi. Ndakatoona kuti


ndikada kuita zvekutamba ndaigona
kungorumwa nebenzi rairatidza kuti
harina matyira iro . Ndofunga kana yaive
yemunhu muridzi aive aituma
achinyatsoziva kuti ndiyo ine hasha
dzese . Hunhu hwayo hwaive husina
kumbosiyana nehwaAchimwene zvachose
pamwe yainvawo kuMalawi hameno .

Ndakabva ndatanga kunyenyeredza


payaive ndichibuda munzira
ndokuzonopinda munzira ndava mberi .
Ndakatofuratira kuenda wani
yakangomisa musoro yakanditarisa
kunge munhu. Ko zvekustresswa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nezvinhu zvisina basa ndaimbozvida here


ini ndaitove nedzangu dzaindiremerawo .

Chandaive ndongonamatira chaive


chokuti benzi riya rinonzi Chiwara risare
tichitevera . Kana aizorega chete
aizondiona . Aifanira kuuya kuzouraya
mai Rue nekuti kuvaona vachirarama
zvinhu zvaive zvondisvota zvakaoma .
Ndaitozogadzikana kana ndakuziva kuti
she's 6feet underground. Vaida kurarama
makore fourty vachimadii ?
Avakatorarama iwayo akawanda stereki .
Wangu mwana baba Chido akafa asati

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

amasvika wani . Ivo ndivo vakoshei ?


Vanotofanira kusiya nyemba.

Ndichisvika pamba ndaive ndakatopfeka


face yebasa chaiyo ndisingadi kana
kujairirwa . Ndaisatomboda chero
anobvunza kuti waenderei iwe uri
pakuchema . Ko vanhu vanoda kuziva
zvinhu zvisiri zvavoka . Kuda kuziva
stereki ndiko kwainetsa vanhu vomuraini
medu. Vaindisvota zvisingaite ungati ivo
ndivo vanhu kwavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ndisiyei ndiuraye muroyi uyu , ndati


ndiregei ndimuteme " ndakavanzwa
vachidaro mbuya vaChido vachipopota .
Ndakazviziva kuti vaive mai Rue chete
vairehwa . Ndofunga vakazosara vosvika
ndabva . Zvino kuti vadzingwe parufu
sekuru Chiwara vasati vauya ndizvo
zvandaisada . Sekuru vaifanira kusvika
vachiwana mai Rue varipo kuitira kuti
vakwanise kuvauraya . Ko kana
taizovadzinga vobva ipapo votoshaikwa
zvachose taizoita sei ?

Ndakatanga kufambisa ndichienda


kwandainzwa noise yacho kwakuwana
mbuya vaChido vakabatirwana nevanhu
apo vakabata bheura mumaoko . Ivo mai
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Rue vaive vongosvimha misodzi ndofunga


vaishaya kuti chii chaiitika? Yaaa ndiwo
mubayiro wekuramba vanhu vakuru
vakaita sesu . Pamwe dai akandida pasina
zvose izvi . Zvino kuti ndimuone
achidanana nevamwe varume
ndakatarisa hazvigoni . Vanofanira
kusiya nyemba mai Rue .

" Mbuya vaChido!" Ndakasheedzera


ndokubva vamira vachifemera mudenga
nehasha kwakubva ndati " siyanai namai
Rue . Sekuru varikuuya Izvozvi ndivo
vachavachenura , uye kana vanenge
vazowanikwa vane mhosva sekuru ndivo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachapa mutongo zvakare , Saka


dzokerai mumba munogara nevamwe
tichimirira godobori "

Ndakadaro ndichibva ndaona


kushamisika kukuru pachiso chamai
Rue . Vanobva vapfugama pasi ndokuti "
ko ndakusheedzerwa godobori ndaita sei
nhai bamkuru ?,chero zvandasvika pano
maiguru vangotanga nekundimhanyisa
nedemo mhosva yangu hombe
yandanyanyopara ndeyei chaizvo ?"

Vakabvunza vachichema kwakubva ndati


" mhosva yenyu muchainzwa kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

sekuru godobori vauya , iyezvino


chimbodzikamai henyu " ndakabva
ndatofuratira ndave kuenda kwandaive
ndaona kugere sabhuku. Kuvaona
mumeso mangu mai Rue kwaive
kondisvota zvakaoma .

Ndakasvika ndokuudza sabhuku kuti


ndaive ndasiya sekuru vogadzirira kuuya
Saka pamwe Izvozvi vatove munzira .
Tiri ipapo naSabhuku ndakabva ndaona
Chido achipota neseri kwemba akabata
muromo kunge munhu aida kurutsa .
Handina hangu kuda kunyanya kuita
basa nazvo . Pamwe pane chaive
changosimudzawo mwoyo wake or

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pamwe aive akuda kubatwa nemalaria


ndizvo airutsa .

Zvimwe zvese zvaive zvapera . Chaive


chasara chete kwaive kuuya
kwagodobori . Ko zvakwakatozopedzisira
kukaita masikati sekuru vasina kuuya.
Vanhu vaive vangogara vakarindira
nekuti ndaive ndavaudza kuti munhu
wese aifanira kuvapo kana
kwakushoperwa . Zvino aive akuda
kutondirasisa ndiye Chiwara iyeyu .
Anenge ave kuda kundikonewa mudhara
uyu . Chokwadi neeffort yose iyoyi
munhu ndipo pooda kundirasisa nelast

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

minute , haaa bodo izvo ndizvo zvandaida


kuona .

Uyo ndiye aizondiziva kuti ndini ani ?


Ndaive ndatogumbuka ndanzwa .
Zvichireva kuti mathreats ese andakasiya
ndaita aive asina kuita basa nawoka?
Kwaitove kundichallenger kabisira
kwaakaita uku . Ndaive ndadumbirwa
zvino nehasha zvekuti chero kufema
zvakanaka ndaive ndakusakwanisa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mai Rue vaisafanira kupukunyuka apa


chero zvadii ? Ndichiri kutsvaga rimwe
zano rokuti ndiite ndipo patakabva
tazoona sekuru vachisvika . Kutaura
chokwadi kutsamwa kwese kwandaive
ndakaita kwakapera ndave kufarira rufu
rwamai Rue . Ukaona vakapabuda
rwendo rwuno apa vadzimu vanaye , asi
ndaitozovauraya zvose nevadzimu vacho
ivavo vobva vakaura .

" Svikai henyu sekuru" ndakadaro


ndichiombera ndokubva vamwe vose
vatanga kuomberawo vachindibatsira .
Sekuru vanobva vatanga kuringa ringa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuita sekuti pane zvavaitsvaga .


Vakazviita kwenguva yakareba
kwakuzowaridza dehwe ravo rembada
pasi ndokubva vagara vachibva vadurura
hakata dzavo pasi .

Vanobva vatanga kudeketera vachitaura


zvaive zvisinganzwiki ndokuzosimudza
musoro kutarisa kuvanhu . Zvino tose
taive tati nzeve kwangwa, tateerera kuti
sekuru vaizoti chii ?

End of chapter 25.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 2 6 .

Kenneth.

Hama dzangu chero ndakamborwadziwa


muhupenyu, ndakarwadziwa
pandakanzwa kuti Ruvimbo ave nhumbu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaCarl yematwins . Ndinototi yaCarl


nekuti isu pachivanhu chokwedu munhu
ainzi auya kuzoripa ngozi aive
asingatenderwi kuzvara matwins or
mwana musikana . Kana zvaizongodaro
chete zvinenge zvichireva kuti avo
vawaita vana vemurume wauri kuita
chikaranga naye uchatozoita imwe
nhumbu yemwana wevadzimu .

I have a friend ana mai vakauya vachinzi


varikuzoripa ngozi ndokubva vauya
ndokubereka vasikana four
vachitevedzana mukoma achizoita
wechifive . Iye Bruce shamwari yangu
aitove nhamba seven . Chindiudzai kuti
ungamurege achienda here mukadzi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

atokuzvarira vana four ? Ndoona sekuti


ndizvo chaizvo zvaive zvoda kuitika pana
Carl . Zvino l will never let that happen.
Not when am still breathing.

Ruvimbo ndakamuda tichiri kumusha


kwavo chaiko . Pandakangomuona chete
ndakabva ndatonzwa kumuda .
Ndisingazivi kuti rwaingove ruchiva here
or rwaive rudo chairwo nekuti ini zvangu
vasikana ndaivada ivo vachindidawo
zvakare.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive nehobho yevasikana zvekuti


vamwe vacho ndaitokanganwa
ndotozoona munhu ave kundiisira
massage chero kufacebook achiti
takambosangana . Ndine umwe
akatombondiisa vanhu kufacebook
wandaive ndangoita hit and run achibva
abhoweka kwakundisvibisa kuruzhinji
achiti musaende kusurgery yadoctor
Kenneth Chirima vanorara nemapatients
ini ndakazviitwa.

Ndakabhowekana ndikatonosvitsa nyaya


kuporisi chaiko asi zvakashaya basa
nekuti munhu wacho vakaedza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kumutsvaga asi akashaikwa nekuti


aishandisa ghost account.

Zvino Ruvimbo ndaive ndisingamudiri


izvozvo . Hongu kurara naye ndaida
hangu sezvo ndaive ndanzwa kuti ivirgin
but ndaive ndisina pfungwa
dzekumuramba uye ndisina
dzekumuroora zvakare nekuti ndaive
ndavimbisa Shelly muchato .

Ndozvimwe zvaiita kuti ndimiremekedze


Shelly Zvekuti airamba kundipa poto
achiti achiri akakwana aida kumirira
muchato . Ndaingonzwa Vanhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachitaura kuti zvine chiremera kuroora


musikana akazara . Zvino while
ndakamirira muchato naShelly ndaida
kufana kuvhura Ruvimbo ndichitora
experience zvino zvakazoenda nepamwe.

Ndaive ndafunga kumubvisa pamba


ndinomutsvagira pekugara but zvakabva
zvaenda nepamwe daddy ndokuti
chikaranga chiitwe musi iwoyo .

Ndiro zuva randanyatsoona kuti


Ruvimbo ndaive ndomuda rudo chairwo
Kwete ruchiva . Pandakamunzwa
achiridza mhere ndakazviziva hangu kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aive arwadziwa nekuti Carl aive


akatakura . Chero waimuona
achizvifambira apo maumbirwo emuviri
wake waibva watoziva zviri mubhurugwa
make .

Aigyma Carl zvekuti aibva anyatsobuda


chifuva ichi zvekuti waiti chero
uchimuona akapfeka zvima mamuscel
tops wainyatsoona kuti munhu waMwari
akaumbwa . Chandakanyatsoziva
ndechekuti ukangoona Rue aravira Carl
akanyatsomujaira chaiko haaizombofa
akada varume vanenge Isu vana Kenny .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ini zvekutakurana nezvinorema handidi


zvangu . Iwo miviri wandaitove nayo
iwoyo waitove wakanaka fani nekuti
vaitoveko vasikana vaitondishaira hope .
Plus kutamba nemukadzi ndaigona .
Ndaitove neexperience kupfuura Carl
aitanga kuziva mukadzi pana Ruvimbo .
Ini ndakatanga zvekurara nevasikana
ndine 15yrs patakamboenda kumusha
kwana mama ndokubva tangoitawo
musikanzwa nemwana wecousin brother
yamama aive muhombe kwandiri
nemakore maviri . Aisatove virgin futi
kuratidza kuti aitove anguva azvitanga .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvakandinakidza zvekuti kubva ipapo


ndaive ndakutongoti musikana wega
wandadanana naye ndotokorovhera . Plus
ndaisada zvisikana zvidiki ndainyatsoda
vahombe chaivo vandinoziva kuti ava
vakuziva zvinhu nekuti ndaisada
kuzotambudzika kana ndokorovhera
poto.

Zvino zvandainzwa zvichiitika muguest


bedroom pandaienda kunoteerera
zvakandisiya ndisisina tariro . Vanhu
vainyatsoratidza kuti varikunakidzana
nekuti chero noise yavaiita vose vari
vaviri yaive isingaite .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ko ndaimborara here ndichiteerera .


Sezuva riya randazofunga
zvekunomubata Rue ndaive ndaswera
bhurugwa rakazvimba ndichitotova
nemaice . Ndaive ndarara padoor
ndichiteerera zvekuti chero kufamba
chaiko ndichibva ipapo kwaive
kondinetsa nekuda kwekurwadziwa
pakati pemakumbo angu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanhu vacho vaive vasingarari kuratidza


kuti vaikavhira chaiko . Zvino ini ndaida
kunoedza nepose pandaigona napo
kutamba naye Ruvimbo anyatsonzwa
kuti atambwa naye but ndisina chero
kubata kupoto ndaive ndaroverwa pasi
nemunhu wandakanyatsoona nemeso
angu kuti munhurume .

Ndakarwadziwa hama dzangu .


Kunyatsonzwa kunge mbabvu dzangu
dzatyoka . Ndakatomboti zii ndiri pasi
ndichiedza kumuka asi ndichitadza
ndokuzoita chivindi ndanzwa Ruvimbo
achimuka kuratidza kuti aida
kunobatidza light .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hameno kuti ndiani muroyi iyeye


akanditadzisa kudya gapu raRue .
Ugoona aive atodzikamira Rue wacho
kuratidza kuti aifunga kuti ndini Carl .
Hameno kuti kupusa here kwaiita kuti
asanzwe kuti haasi Carl nekuti maoko
chaiwo aCarlton aive mazihombe .

Ndakanochema ndave kubedroom


kwangu nekuti ndairwadziwa . Munhu
uya aive andirovera zvehutsinye chaiwo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive 100% sure kuti aisave Carl nekuti


ndaiziva kuti aive kumba kwake . Chaive
chondinetsa yaive nhau yokuti aive ani
chaizvo ? Nanhasi mubvunzo iwoyo
unondinetsa asi wekubvunza ndipo
pasina .

Ruvengo rwangu rwanga rwakukura


Kuna Carl everyday zvekuti
ndaitombomushuvira kuti dai afa. Imi,
hamuna kuona kuti kaive kanakirira sei
kaRuvimbo imi . Ko ka kana vana vari
kumusha havaonekwi nekuti vanogara
vakangopfeka migugururu inenge
yakaviga zvatinoda kuona isu varume .
Kahutema kake kanga kachinyatsobuda
zvino anyatsourungana mwana wevanhu ,
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hameno pamwe ndiyo nhumbu yacho


yakangotanga nekumubvuma kudaro .

Pandakabva mumba maive nevanhu


ndakasvika ndikachema zvekurevesa ini .
Kana zvaireva kuti handaizokwanisa
kuroora Ruvimbo ndaifanira kurarawo
nawo kuti shungu dzangu dzipere.

Noise yaiitwa naCarl kana vachiita bonde


yakandisiya ndine curiosity yekuda
kunotesta ndinzwewo chaimuzhambisa
kudaro . Ko murume mukuru
waizhambaka , hameno havo vana daddy

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nana Karen kuti vaive vasingamunzwi


here ? .

Zvino kuonererwa ikoko ndiko


kwandaida kumutorerera Ruvimbo .
Munhu ngaarege kuvimba nezvinhu
zvekupiwa anozvitsvagira mukadzi wake
ega uko . Ainyadzisa Carl . Chokwadi
munhu kusvika 27 yrs asina kana
kumbobvira arara nemukadzi ? Hurema
rudzii ihwohwo?.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kutaura chokwadi pataibva kumusha


ndichimunyengerera kuti ade Ruvimbo
ndaisarevesa . Ndaitoshuvira kuti arambe
achiramba kuitira kuti vagoti ini ndiite
chikaranga chacho . Iko ndakatoshaya
mweya waive wamubata Carl nekuti
hakuna munhu aive netsitsi nerudo
saiyeyu . Tichiri vadiki ndaigona
kumurova pavanhu akatochema
asingandidzoseri . Chero kuchikoro
chaiko vaiziva Kuti Carl anorohwa
naKenny .

Vanhu vaigara vachimuseka but


aisamboita basa nazvo . Ndaiziva hangu
Kuti kwaisava kupusa or kukonewa
kurova but aitonzwa tsitsi Kuti mwana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wamai vangu, aindida zvandainyatsoziva


ndega Carlton.

Zvino zvandaive ndajaira kuita tichiri


vapfana zvekumurova asingadzoseri
ndizvo zvandakazoita apinda mubedroom
mangu . Kutaura chokwadi
ndaisamurovera nhau yokupinda asina
kugogodza nekuti uyo waingove mutemo
wedu tese . Chero neni make
ndaingopindawo ndisina kugogodza
nekuti ndinenge ndichingoziva Kuti ari
ega. Nyaya yandaimurovera
ndeyekumitisa Ruvimbo matwins .
Chokwadi ndizvo zimunhu
zvaraizhambira zvekuitisa Ruvimbo
mapatya ? Aive selfish Carl . Masigns
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ekuti Ruvimbo ndinomuda ndaive


ndagara ndamuratidza iye ndipo
poomuitisa nhumbu yematwins , hanty
kudherera ikoko .

" Ko urikundiroverei Kenny ? Ndaita


sei ?" Akabvunza atsvukisa maziso kunge
oda kuchema . Ndizvo zvandaida chaizvo
zvandaive ndakajaira Kuti
ndairikwapaidza rochema ndobva
ndafara .

" Zvandakurovera handina kukuudza


here ? Hee ?tell me Carl ? Ndati
zvandakurovera handina kukuudza here
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

iwe imbwa ine mauta iwe ? Kana Kuti


ndikugadzike imwe mbama izvozvi Kuti
musoro wako ushande mushe
"Ndakadaro ndichimukwiza rimwe
ganyamuto rakarira kunge mupande
wemvura .

" Kennyyy!, Usadaro mhani " akadaro


ndokubva rimwe ziso radonha misodzi
ndichibva ndati " get out of room Carl ,
hanty iwe unogona kumitisa stereki ? I
said get out " ndakadaro
ndichimusundidzira achibva
angotendeuka kahwani ndokundikwesha
neumwe mucheka wekuti ndakatanga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuona nyika ichitenderera ndokubva


ndazotanga kuona nyeredzi dzoita
sedzakudonha mumba ndokuzongodonha
ndakadaro ndiye zii "

Pandakapepuka ndakawana
ndakangorara pasi pandaive ndadonhera
Carl asimo . Chokwadi ndakarwadziwa ,
shuwa Carl kundirova obva andisiya
ndakafainta ?, Zvichireva kuti aitoda kuti
ndifeka ? Kutaura chokwadi ruvengo
rwangu rwakabva rwawedzera kwaari .
Zvino kana aifunga kuti achazonzi daddy
nevana vaive vakatakurwa naRuvimbo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ainyepa hake nekuti ndaida kutoibvisa


nhumbu iyoyo .

ZvaHondohwe Zvekuti ade


kundityisidzira ndezvake izvo . Plus iye
zvinhu zvaaiona ndezvaive nevadzimu
mukati chete . Vana vaive vakatakurwa
naRuvimbo vaisave vevadzimu saka
hapana chaaizomboona kana ndazviita .
Chandaingofanira kuita kuzviita
ndakangwarira chete .

" Ngatiite tione Carl Kuti iwe neni


akangwara ndiani ? " Ndakadaro
ndichienda mubathroom mandaida
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kunogeza chiso changu chairwadza kunge


ndarohwa nedanda .

End of chapter 26.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 2 7

Narration .

Sekuru Chiwara pavaive vakavhura ziso


vachiringa ringa kuvanhu meso avo
aitsvaga paive nasekuru vaChido .
Zvavaive voda kuita apa vakaziva Kuti
zvaizokonzeresa ruvengo rwakakura
chose asi havana kuda kuita basa nazvo .
Vakangozviudza Kuti zvaive nani Kuti
varasise sekuru vaChido pakuedza kuda
kuuraya mai Rue .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hongu vaive vambocontributor pakufa


kwevamwe vaisimbourawa nasekuru
vaChido but mai Rue vaivatya nekuti
zviripo zvavaisangana nazvo kana
vanenge vaedza kuvauraya saka vaive
vasisade kusasika ura hwavo pachitsiga .

Vaona sekuru vaChido vakatarisa pasi


vachinyora nyora nechiuswa vanobva vati
" mufi akashinhwa uye muroyi wacho
uripo pano"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vaidaro vachiringa ringa kwakubva


sabhuku vati " mutaurei sekuru , munhu
iyeye anofanira kuva muenzaniso
kumunhu wese kuitira kuti mangwana
vagoziva kuti vaisanyepa vakuru
pavakati muroyi royera kure kuitira kuti
vepedyo vagokureverera " zvediwo
ruzhinji rwaitosheedzerawo kuti muroyi
ngaafumurwe . Kana vari mai Ruvimbo
vaive vobvunda kunge rutsanga ruri
mumvura . Chavakaziva ndechekuti apa
vaive varongerwa dhende chairo zvokuti
kupabuda chaiko kwainetsa .

Vakazvibvunza Kuti ko sei mufundisi


nyaya yavo vaive vasina kuiratidzwa
nedenga vakaratidzwa yaRunako ? Asi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakare vakabva varangarira mashoko


amufundisi pavaive vopesana vachiuya
kumba , vakavaisa bhaibheri mumusoro
vachibva vavanamatira . Vachipedza
vanobva vavabata maoko ndokuti " all is
well mai Dube , tiri vakundi nekupfuurisa
". Vakazvibvunza kuti zvingadaro zviri
izvo zvavaive vazviitira here or vaive
vangoitawo havo nekuti kwavari vaive
vasina kumbotaura chinhu.

Godobori paairinga ringa achiita sokuti


arikufunga zita remuroyi mai Ruvimbo
vaive vatsinzinya maziso zvino
vonamatira mumwoyo . Hondo yavaive
vakatarisana nayo apa vainyatsoona kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

voga chaiko vaisazoikunda . Yaive yotoda


iye mukuru wemazuva pachake .

"Muroora wemuno kumusha ndiye


akashinha " vakadaro Sekuru Chiwara
ndokubva sekuru vachido vati" varoora
vemuno mumusha vatatu sekuru ,
wamuri kureva chaiye chaiye ndoupi ?"
Vakabvunza kwakubva sekuru vati "
ndinoreva mudzimai wemunin'ina
wenyu , mushakabvu "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pavakadaro chete mai Ruvimbo vakabva


vaibongomora mhere . Kana vari vanhu
vaive vovatukirira . Vamwe
ndevaikikiritsana nambuya vaChido avo
vaive vakatakurawo demo vachida
kutema maRue .

Mupurisa wasabhuku ainzi Makeche


kana kuti baba Sabina ndiye
akatozopinda basa rekunyaradza vanhu
nekuti vaitukirira Kwete zvishoma.

Sabhuku ndivo vakazosimuka voti "


ndine hurombo zvikuru mhuri
yekwaMutasa nedambudziko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ramasangana naro. Hatina kuziva Kuti


nguva yose iyi maive makapfuya
rovambira mumusha iyo yazomuka
yakutemerai mwana nhasi . Chinhu
chinonzi godo chakashata hama dzangu .
Ngatiregei kurwadziwa nekubudirira
kwevana vevamwe . Mai Ruvimbo
muroora wandinyadzisa . Ugoona
ndaikuona somunhu kwaye . Zvokwadi
rega vakuru vakati guyu kutsvukira
mukati muzere masvosve . Saka
munoreva Kuti vana vedu vorega
kubudirira here tichitya Kuti kunana mai
Rue vachaita godo vagovauraya ? Zvino
ini muraini mangu l don't tolerate such
nonsense, sekuru mofanira kuchitiudza
Kuti murango wamai Rue ndowei ? ,
Musatye henyu kutaura chero ukave

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

werufu chaiwo nekuti ndakapiwa tsamba


kumapurisa ini inondibvumidza kuranga
Vanhu vanenge vashinha muraini mangu
nomutoo upi zvawo "

Vakapedzisa vachidaro sabhuku


vachigara pasi kwakubva Vanhu
vaombera maoko. Sekuru vanokanda
hakata dzavo zvenhema kwakubva
vatanga kudzibaya baya . Sekuru vachido
ndivo vaive vongokwenya mhino
nekasiyamwa .Vaive vakatarisira nhamo
dzamai Ruvimbo nemeso matsvuku . Ivo
mai Ruvimbo ndivo vaingonzwika
kukwidzira madzihwa kuratidza Kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaichema . Pahupenyu hwavo vaive


vasina kumbobvira vakafungira Kuti
vachazombonyadziswa paruzhinji
rwakadai vachipumhiwa huroyi .
Vakazvibvunza Kuti ko iyo nhamo
isingabvi mumba mangu yakaita Seiko ?
Zuro ndizuro Ruvimbo aive aenda
kunoripiswa ngozi , pasina mazuva
ndokuenda kunorara vagere
vachinamatira Runako, vasina kuzorora
vakutopumhiwa huroyi hwavasina
hwaigona kungovacostira hupenyu
hwavo . Zvokwadi zuva iri ndiro
ravanyatsoona Kuti Satan ane mukonyo .
Mazuva aunenge uchizviudza Kuti
urikunyatsonamata chaizvo miyedzo
ndipo painowanda Zvekuti ndipo
panodonhera makristu akawanda ipapo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kana dzakugara matunduru kudaro


nhamo vazhinji vedu ndipo patinobva
tazofunga mweya wekuenda kun'anga,
ndizvo tichigara tichikurudzirwa
kunamatira the spirit of patience. Mweya
wekutsunga . Hanzi naDavid kuna
mapisarema ... Mwari havatitakudzi joko
ratisingakwanisi kutakura ,
chinongodiwa kuvimba navo chete woona
minana yavo.

Sekuru pavakapedza kubaya baya hakata


dzavo vanobva vatarisa Kuna sabhuku
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuti " varikumhepo vanditi murango


wamai avo ndewekudzingwa mudunhu
vaende kure kure , ndatomboedza
kutaura navo ndichiti sezvo vauraya
zvanga zvakadii Kuti vaurawewo asi vari
nyikadzimu varamba vakati havakodzeri
rufu . Zvino ini kuita zvinhu zvinopesana
nevadzimu handidi hangu nekuti
zvinokuvadzisa. Mai Ruvimbo vadzimu
varikungokupai vhiki imwechete yekuve
muno muraini . Kunopera kwayo
munofanira kunge maenda. Ini pangu
ndapedza ndave kudzokera kumana
kwangu " vakadaro sekuru
vachirongedza hakata dzavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Havana kuda kuisa maziso avo kuna


sekuru vachido nekuti vaitoziva Kuti
shasha payaive yaive yakatodumbirwa
nehasha . Ndizvo vaisatoda kuramba
varipo nekuti vaiziva Kuti vaitozovingwa
chete . Zvino kana vaizoenda shasha
hayaizombotevera ichitya Kuti vanhu
vaizozviona Kuti pane nyaya yairongwa
pakati pavo . Vakaziva kuti pachazopera
zvenhamo vachizodzoka vachange
vatsvaga zvimwe zvekuvavhara nazvo .
Vaive vatofunga kuvapa zvikomana
zvekuzove zvichiputitsa vanhu vanenge
vavajairira . Vakaziva kuti vakangovapa
zvimachinda chete nhau yacho yaibva
yapera . Ko munhu wacho pfungwa
dzaimboshanda here ? Kuti afunge kuti
ndine umwe musengwa wenyoka

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yandipedzera mhuri aive


asingambozvifungi hake .

Varimukufamba kudaro sekuru Chiwara


vanokaruka vaona nyoka yaive yakamira
munzira yakasimudza musoro
yakavatarisa . Vakavhunduka zvisingaite
vachiona nerudzi rwenyoka yacho .
Chavakabva vangoziva ndechekuti
chavakadya chaive chopfuka .

"Ndinokumbirawo ubude munzira yangu


nekuti ini handisati ndambomira munzira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yako , zvose zvinewe mukati


handitombobviri ndapinda mazviri Saka
newewo buda munzira yangu" vakadaro
ndokubva nyoka iya yararisa musoro pasi
ichibva yatanga kufamba ichipinda
mumauswa .

Sekuru Chiwara vanobva vadzungudza


musoro wavo vachienderera mberi
nerwendo rwavo . Vanombocheuka
vachinzwa mhere yairidzwa namai Rue
vaidzingwa panhamo asi kudzokera
havana.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kana vari sekuru vaChido Vaive vovava


zvokurevesa nekuda kwehasha
dzokutadza rwetatu kuuraya mai Rue .
Vakadzingwa sembwa parufu zvekuti
zvainzwisa tsitsi .

Vakafamba nzira yose vachiridza mhere .


Chimwe chaive chonyanya kuvanetsa
yaive nhau yekwekuenda . Ndizvo zvimwe
zvaingoita kuti varambe vagere pamba
pavo chero vaishunguridzwa havo
nasekuru vaChido . Mai Ruvimbo vaive
mubvandiripo . Mai vavo vaive
vanoroorwa vane mwana wavo . Zvino
hama dzekumurume wamai vavo dzaive
dzisina kumbobvira dzavafarira
dzichivenga kuti murume wamai vavo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aive aroora mai vavo iye ari jaya risina


mwana ndokunoroora munhu ane mwana
wake Saka vaivengwa vose namai vavo
zvekuti zvakatoita worse pakafa
stepfather vavo nekuti vakabva vatoisa
hanzvadzi dzavo mweya wekuti
vavavenge . Ndizvo vaingoshingirira vari
pamusha pavo nekuti vaitoona kuti zvaive
nani pakunodzingwa sembwa kumusha
kwastepfather vavo . Kwavo kumusha
kwababa vavo Mai vavo vaive vangosvika
pakufa vasina kuvaudza kuti ndekupi
Saka hama chaidzo vaive vasina .

Hanzvadzi dzamai vavo kwaive


kwangosarawo imwechete asi kuti
vaendeko zvakare zvaivaremera nekuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mai vavo pavakaona kuti mwana haasi


kudiwa kumurume vakatomboedza
kunokumbira kumusiya kuhanzvadzi
yavo kuti agare ikoko asi vakarambisisa
sekuru kusvika vazongokurawo
vachitambudzika vachizoroorwa nababa
Rue .

Zvino apa chero kuti vanonangepi chaiko


vaitoshaya . Varimubishi rokushushikana
kudaro fon yavo inobva yarira .
Vachitarisa caller's ID vanobva vaona
vari mai Carl vachibva vatozorangarira
kuti vaive vambokumbira Kutaura
naRuvimbo zvichibva zvanzi aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ambobuda saka apa vakabva vatoziva


kuti zvinodaro kuti aive adzoka .

Vanogadzirisa inzwi ravo kwakubva


vadaira but raive rakashoshomera
kuratidza kuti vanga vachichema .

" Murikuratidza kuti manga


murikuchema severe kwakanaka here ?"
Vakabvunza mai Carl vasisinawo
kugadzikana .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mai Rue vanobva vafemereka neshungu


ndokuti " zvakaoma severe , mwana
wabamkuru akashaika nezuro
kukorokoza kuKadoma uko achiita
zvekupondwa . Nhasi kwakusheedzwa
godobori kuti auye kuzoshopera
kwakubva godobori wacho ati ndini
ndakamuuraya . Chokwadi nhai severe
ndinopinda papi pakupondwa
kwaTirivanhu ini ? Izvozvi ndatopiwa
murango wekuti ndibve mudunhu .
Ndatonzi vhiki inofanira kupera ndisisipo
Saka handitozivi ipapa kuti ndinonangepi
nevana? Ndinotongotenda zvangu kuti
hazvina kunzi ndiurawe vana vangu
vaizosara nani chokwadi ? "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisa vachidaro vochema


kwakubva mai Carl vamboti zii
vakatarisana nemurume wavo .
Chokwadi vakanzwa tsitsi . Sezvo fon
yaive pahandsfree baba Carl vanobva
vati " aaa very sorry severe . Ipapa ndini
ndanga ndatoti severe venyu vakufonerei
nekuti mukwasha wenyu anga ane
chikumbiro . Arikuenda mhiri
kwemakungwa kubasa saka anga
achikumbirawo kuti muzosara muchigara
kumba kwake kuwane kuchengeteka,
Saka ndinoona sokuti iyo yamaitwa iyo
ndiyo yacho varungu yavanoti a blessing
in disguise Saka hameno kuti imi
munozvionawo sei ?, Kana zvichiita
ndinogona kutotuma driver nemota
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

izvozvi auye akutakurei .


Chazvakanakira ndechekuti anosvika
husiku pasina anoona obva atokutakurai
vanhu vozongomuka vachiwana musipo
"

Vakapedzisa vachidaro baba Carl


kwakubva mai Rue vatura mafemo .
Nekunyadzisa kwazvaiita kuti
vonochengetwa kuri kuripa mwana wavo
ngozi vakatongozobvuma nekuda
kwesituation . Vaive vasina kwekuenda
Saka kuHarare kwega ndiko kwaitoita
plus vaive vasina kukumbira pekugara
vaive vangopiwa nekuda kwerudo
rwevanhu vacho .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 27.

C H A P T E R 2 8

Ruvimbo .

Handizivi kuti ndingati ndakafara here


pandakanzi ndane nhumbu yaCarl .
Mumwoyo mangu ndairwadziwa kuti
kana vadzimu vacho vaive vaona kuti
ndakakodzera kuita mukadzi waCarl
vakaregerei kungotidananisa tozoroorana
hedu nenguva yedu ndambotanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndapedza zvechikoro . Kutaura chokwadi


ndaiona sekuti ndaitirwa hutsinye .
Hongu Carl airatidza kuve munhu ari
bhoo hake but zvimwe zvinhu zvinongoda
muchironga imi vaviri muri murudo .

Pandakadzokera ndichisiya daddy naCarl


panze ndakatosangana naKaren
mukitchen achitoti aibuda panze
kuzonditora kuti timbopinda mutown
timbonodya maice cream . Hanzi ndinoda
kumbospoila shamwari yangu .
Ndakaseka ndikati " zvino
unogondispoila nemari yevabereki here
dear , uchazonyatsondispoila
wakushanda "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaidaro ndichikwidza upstairs


kunotorawo handbag pane mbiri
dzandaive ndatengerwa naCarl . Hanty
ndaionawo Karen anekake here ? .

" Imari yangu inopinda mucard every


month iyo Rue , pano chero ivava
vakuzvishandira vanotova nemari
dzavanowana kubva kuna daddy
yavanoti child allowence " Akadaro
ndichibva ndashamisika . Chokwadi
hupenyu hwemari hunenge kudada , isu
chaiko mari waitoibata muruoko kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

unenge watotumwa kunotenga something


kumashops kwete zvekuti unotopiwa kuti
Iyi ndeyako shandisa zvaunoda.

Asi handina hangu kunyanya kuzvifarira


nekuti kazhinji mwana akakura
achiitirwa zvese achipiwa mari achiziva
kuti l can get everything l want . Vazhinji
vacho ndidzo dzinozoita simbe nekuti
vanenge vakajaira easy life . Chero basa
chairo vasikana vacho vazhinji anenge
achikonewa kana kuzviwachira mbatya
dzake dzemukati chaidzo kana kugadzira
mubhedha waanga akarara. Zvinhu
zvakadaro hazvikurudzirwi kuvana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nekuti vanofanira kukura vachiziva kuti


zvinhu zvose zvinoshandirwa . Kuti uve
neupenyu hwakanaka unofanira
kushanda nesimba .

Zvino vasikana vanobva kumhuri


dzakakwirira ava vanenge vangojaira
kumuka vachiitirwa , chero kusuka ndiro
chaidzo anenge asingagoni . Unowana
munhu ane nzwara dzakareba zvekuti
unotozvibvunza kuti chero iko
kuchimbuzi kwacho anozvipukuta sei ? .
Vazhinji vacho ndevanozoti varoorwa
nemurume asina mari asingakwanisi
kuafforder musikana webasa vanogara
vachinetsana nemurume achikonewa
kana kuwacha kana kubikira murume .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vamwe vacho hongu vanogona kuroorwa


nevane mari dzacho but iye chake anenge
achingova wekupa maorders kumusikana
webasa. Pamubhedha chaipo waanga
akarara nemurume wake anotosheedza
sisi vebasa kuti vazowaridza. Ndizvo
muchiona kuti kune nyaya zhinji
dzevasikana vebasa vanozodanana
nemaboss avo . Murume anenge atoona
kuti musikana webasa ndiye ave kutoita
semudzimai wake .

Mukadzi akarangwa akanzwa chero


akave anoenda kubasa sei haacleanirwe
bedroom nemusikana webasa. Mukadzi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ane hunhu chero achienda sei kubasa


anofanira kumbozvipawo zuva rekuti sisi
nhasi chimbozororai ndini ndichabikira
daddy . Nemurume anoonawo kuti
mukadzi wangu anogara ari busy hake
but paanowanira mukana anondiitira .
Tinohuti hupenyu hwakanaka hedu but
hunouraya future yevana . Mwanasikana
ngaadzidziswe mabasa ese anofanira
kuitwa nemunhukadzi kuitira mangwana
nekuti vakuru vakati ramangwana
rinozikanwa nebenzi . Memukomanawo
ngaadzidze mabasa ese anofanira kuitwa
nemunhurume kuitira mangwana
zvakare .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kwete Kuti hupenyu pahunozooma


mangwana vabereki vasisipo munhu
ndipo poozove achibvutira vanhu
zvikwama zvavo mustreet. Mukada
kunyanya kuingorora nhau iyoyi you will
see kuti vana vazhinji vanoita
zvemadrugs vana vevapfumi kana armed
robbery chaiyo . Vasikana vazhinji
zvakare vanoita zvekutengesa miviri vana
vevapfumi , why because havadzidziswi
kuzvimiririra muhupenyu . Ugoti vazhinji
vacho havanyatsogona chikoro .
Kugarika hakusi kupa mwana mari kana
kumutsvagira munhu anomuitira basa
akagara . Kugarika kudzidzisa vana kuti
vakure vachichiva kuti nesuwo tinoda
kuzoitawo mabusiness sevabereki vedu .
Kudzidzisa mwana kuva responsible.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Seapa pekwaChirima, munhu wandaive


ndaona achiita basa ndiKaren nekuti
anotogona kubika nekusuka . Ipapo
ndakanyatsoona kuti mama vakaita basa
hombe chairo nekuti chero hunhu
hwaKaren hunoratidza kuti munhu
anombogarirwa pasi achirangwa.
Vandaive ndisingazivi hangu vakomana .

"Inga zvenyu mugere zvakanaka "


ndakapindura kwakubva Karen ati
"umm matauriro ako aya friend ..."
Akadaro ndichibva ndati " ndaita sei ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akangoseka hake ndokubva anyarara .


Ndofunga aive aona kuti ndaive ndine
zvekutaura ndichibva ndasarudza kurega
hangu. Ko pane pamwe pasingadi kuti
munhu unongotora kapfungwa keGokwe
uchiuya nako Harare ka. Ndakapinda
muguest bedroom kwakubva ndatora
handbag panova ndipo
pandakazorangarira kuti zuva riye
ndaive ndaigirwa fon naCarl but handina
kuzowana mukana wekuivhura nenhau
dziya dzaKenny . Ndakaitora ndokubva
ndanoratidza Karen achibva atosiya aiisa
pacharger achiti aizodzoka
achindidzidzisa . Takabuda hedu
takuenda tangooneka mama Chete nekuti
daddy naCarl vairatidza kuti vachiri busy
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nenyaya . Nhau yaCarl yekuenda mhiri


kwemakungwa ndiyo Imwe yaive
yondinetsa. Kutaura chokwadi
yaindirwadza . Carl ndaive ndonzwa
kumuda zvakapfurikidza zvekuti chero
kubuda kwandakaita naKaren kwaive
kungoonawo hako kuti handingarasisi
munhu aita rudo but chokwadi
chinozokanwa naMwari chaicho
ndechekuti ndaive ndisingadi .

Tasvika kutown Karen aiedza nepose


paaigona napo kundifadza but ini hangu
ndini ndaive ndisingafadziki nekuti
ndaingove kutown mutumbi Chete but
pfungwa dziri kubaba Cassie . Akatenga
chirungu chese Karen kuti tidye but ini
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaitonzwa chisiri kunaka manakiro


echikafu chandaitengerwa naCarl . Karen
akazviona kuti ndaive ndisiri kufara
kwakunditi timboenda kugarden hanzi
rinonzi Chii Chiiko zita racho, hanzi
timbonorohwa nemhepo takatandara but
ndakarambisisa ndichihwanda nekuti
mama vaive vati tikasike kudzoka but
kutaura chokwadi ndaingoda
kuzvidzokerera kumunhu wangu ini .

" But hatisati tambova ne2hrs tiri


mutown friend" Akadaro Karen
achiratidza kuti aive abhowekana but ini
zvese izvozvo ndaive ndisisina basa
nazvo . Achazvinzwisisa hake gore
raachapinda murudo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Aiwa tichadzoka nerimwe zuva friend


don't worry " ndakadaro ndichitopinda
mumota ndakatakura zvinananzi
zvandaive ndatengerwa kuti ndinodyawo
naCarl wangu .

Akapinda ndokugara padriver seat


achiratidza kuti aive asina mufaro
zvachose . Akaisimudza mota
takudzokera kumba . Munzira hapana
aitaura neumwe zvataive tauya tichiita
tichibva kumba . Kungoti ndaive ndisina
kumuudza hangu kuti ndaive ndamurudo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nehanzvadzi yake . Ndaida kuti tingoiita


secret kusvika tazofunga zvokuroorana .
Tichisvika pamba meso angu
akangomhanyira kutarisa kugarden
kwandaive ndasiya Carl ari but handina
kumuona kwaingove nadaddy namama
chete. Ini handina kuda chero kusvikako ,
ndakangotora chikafu chandaive
ndatengerwa ndokubva ndamhanya
kuguest bedroom. Ndakasvika
ndichingovhura ndichipinda but maive
musina munhu . Ndakagadzika zvandaive
ndakabata pasi kwakubva ndanopinda
mubathroom ndichifunga kuti pamwe
ndimo maaive but ndaitozvinyepera
hangu nekuti aitove asimo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapera mufaro wese kuti tsvai . Ko


aive aendepi nhaimi ? Ndakarwadziwa
zvekuti ndisina kutarisira ndaive
ndotochema ini . Ndaona kuti kuchema
hakusi kubatsira chinhu ndakabva
ndabuda ndokutanga kufamba
ndakuenda panze kuti mdinobvunza kana
vaive vambomuona . Zvekunyara
ndakatombotsveta padivi . Ndakupfuura
pamusiwo webedroom rake ndakabva
ndanzwa kuita kunge munhu
aikwiridzira madzihwa ndichibva ndaziva
kuti ndimo maaive .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Handina kuda kumbofunga kaviri .


Ndakangosvika ndichivhura kwakubva
ndapinda . Ndakawana akarara
akataridza chiso pasi but ainzwika kuti
arikuchema . Ndakatoshaya kuti anga
aitwa sei zvakare . Pfungwa dzangu
dzakangomhanyira kufunga kuti pamwe
aive asara akarohwa nadaddy nekuti
Karen aive andiudza kuti vairohwa
nadaddy kana vanenge vaita zvisina
kuvafadza. Zvino ndakatoshaya kuti Chii
chaaive aita chamurovesa ? Chero
zvandakapinda haana kumbosimudza
musoro kuti atarise kuti ndiani apinda.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Baba Cassie !" Ndakasheedza ndichisvika


pabed paaive ndokubva asimudza chiso
ndokunditarisa . Akaedza kusekerera
hake but wainyatsoona kuti munhu haasi
kufara . Anobva amuka ndokugara
akazembera pamadziro ndokubva
ndakwirawo pamubhedha ndokubva
ndagarawo ndokuti" maita sei ?"

"It's nothing babe don't worry "


akapindura achitopukuta misodzi yaive
yorera . Ndakanzwa mwoyo wangu
kurwadza shuwa . Haisi nyore veduwe
kuona murume mukuru akaita saCarlton
achichema.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Munogoti hapana sei imi


muchichema ?" Ndakabvunza
ndichimupukuta misodzi neruoko apo
pandakazoona kuti paive pakadhinda
ruoko kuratidza kuti yaive mbama
chaiyo . Carl aive mutsvukuka kupfuura
Kenny Saka kurohwa kwaakaita
pakatosara pakatsvukuruka pachiratidza
kuti paive pafamba ruoko.

" Ndidaddy vakurovai kudai?"


Ndakabvunza achibva adzungudza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musoro . Voice rairamba kubuda nekuda


kweshungu .

"Saka marohwa nani ? Sei


murikundivanzira ?" Ndakabvunza
ndatogumbuka apo pfungwa dzangu
dzakabva dzazomhanya Kuna Kenny .
Ndiye Chete hakuna umwe ." Ndikenny
hanty ?" Ndakabvunza achibva
agutsurira musoro akatarisa pasi .
Chandaive ndakusanzwisisa ndechekuti
aichema kurwadziwa nekurohwa here
kana kuti paive nezvimwe ? Kutaura
chokwadi ndakaita hasha . Kenny aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

azoenderera manje . Aive aguta


kunyarwa .

Ndakasimuka nehasha ndichienda


kudoor. Ndaive ndafunga kumuvinga
Kenny . Ndaida kunosiya ndamuisa
munzira yake . Mumba mangu
hamungagari musina mufaro mazuva
oseka nekuda kwake . Ndakamunzwa
Carl achiti "babe "but handina chero
kuda kudaira . Ndakabuda
ndokungosvika ndichivhura door ndisina
kana kugogodza.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nxaaa , anoda kugogodzerwa kuti


ndiani? Ndaive ndakatoita kuzvimba
bhibho chaiko nehasha . Ndakawana
akagara pamubhedha akaisa maice
padama kuratidza kuti aitova.
Ndakamuona achivhunduka
paakandiona . Ndaiita kuzuzuma nehasha
zvekuti chero pandaive ndakamira rimwe
gumbo raita kutamba tamba ndakabata
muchiuno . Aive andishungurudzira
murume wangu kwenguva yakareba
Kenny ndichingomunyararira .

"Why urikugara uchishungurudza


murume wangu Kenny ? Vakakutadzira
chii baba Cassie ?" Ndakabvunza nevoice
raive nehasha . Chero zvandaisimbomuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukoma ndakazvirasira kure uko .


Aisakodzera kuremekedzwa mhani .

"Baba Cassie ndiani ?" Akabvunza


ndichibva ndati " pindura
zvandakubvunza ndati why urikushaisa
murume wangu mufaro iwewe ? , Hakusi
kutanga Kenny and l want to know the
reason why?" Ndakabvunza achibva
aseka ndokuti " Saka Carl ndiye wauri
kuti murume wako ?" Akabva aseka
zvesvoto zvakare zviya zvaive
nekudzikisira mukati ndichibva
ndabhowekana ndokuti " Saka chiri
kukusetsa ipapo chii?, Chinoshamisa
pakusheedza baba vevana vangu kuti
murume wangu chii? Are you jealous?"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabvunza achibva aburuka


pamubhedha ari serious ndokubva
atanga kufamba achiuya kwandiri . Zvino
kana aifunga kuti achandirova aifanira
kufunga kaviri nekuti ndaizomuita
zvinogara zvakadaro . Ndaida
kukuputitsa bhutsu pakati pemakumbo
ipapo .

"Anosvika pedyo pedyo neni


ndokunditarisa mumaziso chaimo
ndokuti " me , jealous yetsvina
dzakadai ? Chii chinoshamisira pauri iwe
nenhamo irikumba kwenyu inonhuwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kudaro ? izvozvi hanty kuonekera uku


imari yedu . Handikudi Ini Ruvimbo
kana padiki chaipo . Ndirikutoedza
kuonesa zungairwa rekwedu iro kuti
risiyane nevanhu vane mabad lucky sewe
kudai nekuti he will never prosper in life .
Jambwa ndiro rinogara richikutevera
Ruvimbo, ukaona munhu anosarudzwa
pavanhu vose vari mumhuri kuti azoripa
ngozi ane jambwa rinosemesa munhu
iyeye" anobva anhonga fon yake pabed
kwakubva andiratidza foto remusikana
aivepo aive akanaka . Haaa apa ndipo
pandakanyatsoona kuti Mwari ane
favour . Musikana aive akanaka zvake
iyeye apo ari mutsvuku . Anobva atarisa
kwandiri ndokuti " that's my wife to be ,
everyone knows her , chii chirinaniwo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pauri chaunoti chinopfuura musikana


wawaona apo ? Wariona here gadziko ?
Wariona here hip ? Saka chandingadewo
papuranga rakaita sewe kudai chii ? Iwe
wekuti chero magetsi akaenda mumba
munoita rima rinotyisa nekuda
kwehutema hwako "

Anobva aseka ndokuti " Saka unofunga


kuti Carl ndipo paachazoramba achikuda
here kana zvechikaranga zvapera?
Umuudze akuratidze vakadzi veshamwari
dzake uone wega kuti haangamboiti
mashura ekuenda nemunhu akaipa sewe
kushamwari dzake achiti mukadzi
wangu . Just accept your fate Ruvimbo.
Uri wekungoshandiswa Chete kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

apedza newe wosiiwa usisina anokuda


nevana vatatu , vaviri vaCarl
newengozi.Chero dai Carl akati anokuda
l will never let that happen, handidi
munhu anotidzikisira kusvika palevel
iroro isu rekunotora chivillage girl achiti
anoroora , now get out of my room
urikundinhuwidzira "

Akapedzisa achidaro achindisundidzira .


Hama dzangu ndakarwadziwa .
Ndakademba nechandaive
ndamboendera mumba make . Kenny ari
rough kana mazogara , though aitaura
hake chokwadi . Pavasikana vemuHarare
ndaisambosvika chero paquater hangu
zvekuti aitorevesa hake Kenny kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaizosiiwa naCarl awana umwe arinani .


Mashoko ake akandisiya ndave
nepfungwa mbiri . Zvaitove nani kuti
ndisiye pachiri pedyo zvisati zvanyanya
kuenda kure than Kuti ndizorambwa
ndave Ini , worse ndinenge
ndakuzoudzwa kuti ndiwe
wakandipfimba kana kuzoudza musikana
wacho ndikazove joke zvangu.

Ndichibuda handina kuzoda kudzokera


kubedroom kwaCarl . Ndakabva
ndananga kuguest bedroom but
ndakabva ndanzwa achindisheedza
ndichibva ndaignowa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 28.

C H A P T E R 2 9

Sekuru vaChido .

Hama dzangu kupererwa is an


understatement pane zvandakanzwa
pakataura Sekuru Chiwara kuti murango
wamai Rue ndewekudzingwa mudunhu .
Chokwadi Sekuru Chiwara vaida
kutsvaga kuona kuti ndiri munhu
akanyanyoita sei chaizvo maonero
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

andakaita . Nekuti dai vainyatsondiziva


mushe vasina kumboita zvavakaita . Ini
wangu mwoyo wakashata kupfuura
wasatani pachezvawo . Zvino ndaida
kumuratidza kuti ndini ndinotonga
dunhu rino .

Uyo ndiye wandaizouraya nebheura


chairo kana ndapedza ipapo ndobva
ndanosungirira mai Rue mumba zvobva
zvazongoita kunge accommita suicide
vachinyara nhau yekubatwa kuti ndiye
aroya Tiri . Pavaviri ava hapana aifanira
kusara ari mupenyu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chero hasha dzandaive ndave nadzo


parufu ipapo dzaive dzisingaiti . Vanhu
vaizongoita havo mwoyo murefu nekuda
kwekuti vaingozviudza kuti pamwe
kwaive kurwadziwa naTiri but zvaisava
izvozvo . Ndaitove nedzangu
dzaitondinetsawo zvangu dzisinei
naTirivanhu .

"Zvino muroyi abatwa zvaasina chinhu


toita sei nhai Dhuve kuti chitunha
chinotakurwa? "vakabvunza sabhuku
Sekuru vachangoenda kwakubva ndati "
ane uswa hwakawanda fani mai Ruvimbo
hwaanocheka achitengesa ngaatipe
ihwohwo titengese then kana inenge
yaramba kukwana otipa machira "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakadaro ndokubva sabhuku


vangogutsurira musoro vasina
zvavataura . Ndofunga voga vaitoonawo
kuti shabani yakadzora mwando .

" Regai nditume mai Ranga vanovaudza


kuti kurikudiwa uswa hwekutengesa kuti
kunotakurwa chitunha " vakadaro
sabhuku vachisimuka . Mai Ranga
vavaitaura aive mudzimai wavo .

" Heyi wena ... Urikutei pamutohwe


wangu ? Ndizvo zvamunoita here kuti
kana maenda kunhamo munonotemhana
nematohwe evaridzi ? Ibvapo apo "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakasheedzera ndaona umwe


wevakomana vechidiki ari pamutohwe
waive mumunda mangu . Ndaive
ndambopinda nechemumunda ndichiti
ndimboputa mbanje dzangu ndipo
pondoona munhu achiturura matohwe
angu . Hameno kuti aive wekupi
mukomana iyeyu asingazive kuti Ini
handidi nemiti iri mumunda mangu .
Chero mombe kana mbudzi dzemuraini
dzaitoziva kuti mumunda masekuru
vaChido chero chikava chirimo
hamufurirwi . Ndairumisa nembwa kwete
zvekutamba . Imbwa yangu Mugondiitei
yairuma mbudzi zvisingaite . Kana dziri
mombe ndaitema makumbo nedemo
zvobva zvatyoka . Nxaaa vanhu vaida
kundijairira stereki , shuwa vangatinhira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvipfuyo zvavo kumba kwangu kuti


zvizofurirako ini ndisina zvipfuyo
zvacho . Chipfuyo chandaingove nacho
pamba pangu ndiMugondiitei chete.

Mukomana uya anocheuka


ndokunditarisa zviya zvokuratidza kuti
aida kunyatsonzwisisa . Maybe aifunga
kuti ndirikutamba but ndaitorevesa
chaiko . Zvavo zvekuti muti ndewaMwari
ndezvekupenga izvo . Ini uri mumunda
mangu unenge uchitori wangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndimi makaudyara here muti uyu ?


Ndimi makaudiridzira ? Munoziva kuti
ugozonzi mutohwe Chii chakaitika?
"Akabvunza ndichibva ndaramba
ndakamutarisa ndichida kuona kuti aive
wekupi chaizvo mupfana aindipindura
zvaanoda kuita sekuti haandizivi uyu .
Zvediwo chiso chake chaive chitsva
kuratidza kuti aisave wemuno mudunhu .
Ndakashaya kuti aive mwana wani iyeye
anodherera gomo risina ukwiriko.
Hakuna aive asingandizivi mumaraini
aive akatikomberedza Kuti ndiri munhu
akaita sei ? Vanhu vose vainditya ini ,
vainyatsoziva Kuti netsvimbo handimisi
kurova.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Seuyu akatozonyanyoita munyama


wekuwana ndichangopedza kurova mogo.
Ndaida kumurikita zvekuti haaizombofa
akadherera zvakare. Ndakabva ndatanga
kufambisa ndichiendako ndakafuta
sedzetse razvimbirwa nehove. Ndaida
kumurova zvekuti haaizombofa akada
kundiona futi . Ndaida Kuti kana
aizonzwa zita rangu chete amhanye
kunge achatyoka makumbo .

Ndichisvika paari naye anobva acheuka


sezvo aive angobvunza nyemba dzake
kwakubva atanga kuenderera mberi
nekuturura matohwe .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Achinzwa Kuti ndasvika anobva acheuka


hana yangu ichibva yati bamu kurova .
Ndakabva ndatanga kutsukuta maziso
angu ndichida kuona Kuti zvandaiona
zvaive izvo here kana Kuti imbanje
dzaive dzoita Kuti ndione zvisionekwi
humhandara hwaamai ?

Pandakatsukuta meso angu ndakabva


ndatanga kufamba nenhendeshure
ndakamunongedza neruoko rwaibvunda .
Hongu aive ave makore but ndaive
ndisina kumbomukanganwa . Zvichireva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti sekuru Chiwara vairevesaka ? Iye


akangoramba akanditarisa without
saying anything kwakubva ndati ndave
kachinhambwe kubva paari kwakubva
ndatanga kumhanya ndichidzokera
kumba ndichingocheuka .

Ndaizvibvunza mibvunzo hobho yaishaya


mhinduro . Ndakaona Vanhu vose
vachimira vakanditarisa . Kungoti vaive
vasingazive havo zvandaiona ?

"Ko chiiko nhai Dhuve kubva maita


kunge murikuona chipoko kudaro ?
Vakabvunza sabhuku ndichibva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndambomira zvakare ndakatarisa


mukomana uya iyo akangoramba ari
busy nematohwe ake .

" Murikuonei kumutohwe uko?"


Ndakabvunza sabhuku vachibva vatarisa
zvakanaka ndokuti " ndiri kuona ltai imi
murikuonei ?"

Vakabvunza ndichibva ndati " ndiItai


wekupi wamurikutaura nezvake ?"

"Mwana waMkoma Tavengwa , akauya


nezuro kubva kuBulawayo saka ndiye
wamanga muchitiza kunge munhu aona

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chipoko kudaro ?" Vakadaro ndichibva


ndatura mafemo kuri kupererwa .

Haiwa kani ndaive ndisingapengi ini .


Munhu wandaive ndaona haasi iye
aitaurwa naSabhuku mhani .

"Are you sure kuti ndiye ? Ndakabvunza


vachibva vati" regai ndimusheedze , Itai !
" Anobva acheuka vachibva vamuninira
neruoko kuti huya kuno " anobva
anhonga matohwe aaive achirova
nedanda achidonha pasi kwakuzofambisa
achiuya . Zvedi aive ave umwe munhu
asiri wandaive ndamboona . Uyu aive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mwana waTavengwa chaiye nekuti aive


akafanana baba vake .

" Ndini ndakusheedza kuti uzoona


vaDhuve ava , ndivo vaive sahwira
mukuru wababa vako vasati vogara
kuchirungu " vakadaro sabhuku achibva
atonyemwerera kwakubva atambanudza
ruoko kundikwazisa .
Ndakangomukwazisira nhamo hangu but
ndaive ndisingadi . Kusekerera kwacho
haungati ndiye uya munhu anga
ambondipindura rough .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazobva apa ndoenda hangu


kunogara kwaive nemamwe madhara apo
pandakangoti ndichangogara foni ichibva
yatorira . Ndakatarisa ndokuona ari
Freddy aitevedzana naiye Tiri
pakuzvarwa ndichibva ndadaira .

" Baba amwe makorokoza aunganidza


mari yekuti chitunha chiunzwe kumusha
Saka mangwana mambakwedza tinosvika
" akadaro ndichibva ndafema mweya
unotonhorera . Nhau yokunosengwa
kwechitunha yainditemesa musoro
zvisingaite .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ndinotenda mwanangu ndanga


ndatopererwa . Izvozvi ndine stress
isingaiti nekuti muroyi akashinha Tiri
abatwa " ndakadaro achibva ati " muroyi
akashinha Tiri kupi baba iye Tiri akaita
zvekupondwa ?" Akabvunza ndichibva
ndati " hongu akapondwa zvake but
mhepo yacho ine munhu akaisimudza "

" Hanzi ndiani ?" Akabvunza ndichibva


ndati " mainini venyu mai Ruvimbo
chaivo " ndakapindura achibva ati "
haiwawo , muudze n'anga yenyu iyoyo
Kuti hanzi neni ukwane , Tiri
akangopondwa maponderwo anongoitwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vamwe vanhu vose kuno . It's not like Tiri


ndiye atanga kupondwaka . Izvozvi vhiki
iyoyi chete ipapa vatove vanhu vanosvika
gumi vakapondwa , Saka ndimainini mai
Rue futi here ? Vanhu shuwa regai
kungoita bwoni bwenyoka inoruma
chaisingadyi " akadaro achibva
adimbura nhare ndisati ndapindura .

Ndizvo zvakashatira vana vangu. Iye Tiri


chaiye zvandaive ndamuudza kuti
ndakaendesa Ruvimbo kunoripa ngozi
akatondipopotera hanzi maregerei
kuendesa Chido anova ndiye muzukuru
wenyu imi mupari wemhosva . Vanhu
vacho vaitoita kunge vakadyiswa namai

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Rue. Vaivafarira kupfuura chero mai


vavo chaivo .

Ndakaudza sabhuku mashoko aive abva


Kuna Freddy vachibva vazivisa vanhu
vakafara zvikuru . Sokuvimbisa kwavo
kuchinoedza mangwana vaitosvikawo
nemota . Wangu Solo aiita kukoniwa
kumira nekudhakwa . Takamira pamota
ipapo coffin richiburutswa vanhu
vachiimba anobva adzedzereka achiuya
kwandiri ndokuti" ummm mudhara
maitiro enyu munenge makabata bata
imi . Murikupedza mhuri mudhara .
Izvozvi ndanzwa nekugara ndichirota

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muri mudura umo musina kupfeka


muchireverera pahari hombe but muhari
machona makazara zinyoka . Ndisati
ndadzokera ndirikuda kutombopinda
mudura umo ndione kuti zvandinogara
ndichirota hazvisi izvo here ? Nekuti
umm, kuhope zvinenge zvichiita
sechokwadi "

Paakangodaro chete anobva atanga


kudzedzereka achidzokera kwaive
nevanhu . Kutaura Chokwadi
ndakapererwa ndikashaya kana
neremuromo . Dai akataura tiri tega
zvaive nani pane kutaura pakazara vanhu
kudaro . Chero nevaiimba ndakaona
vanyarara votarisa kwandiri .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino kana aifunga kuti


ndichamutendera kupinda mudura
ngaakanganwe hake . Zvinotova nani
andiuraye zvake ndichiramba kuti
kuvhurwe . Plus mhiko yehari yacho
yaitonzi haifaniri kuonekwa kana nani
zvake.

Kuzvara kwangu pana solo aingove


masiya ndaita chaiwo nekuti Solo
pfungwa dzake dzaive dzisina
kunyatsokwana . Ndakangosiyana naye
ndokutanga kufamba ndichipinda
Mumba maive makunoiswa bhokisi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichinzwa kureruka chaiko nenyadzi


nezvandaive ndaitwa naSolo . Chero
kusununguka ndaive ndisisina nekuti
ndakazviziva Kuti aitozoda kuvhura
chete mudura . Ko munhu wacho musoro
wake waipisaka .

Nguva dzasvika kuma10am chitunha


chakabva chachengetwa . Ndakaramba
ini kuti kuitwe body viewing nekuti
mutemo wakazongo waive usingatendi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kunodoka kwezuva vazhinji vaive


vatoparara vadzokera kumisha yavo .
NeveKadoma vaive vaperekedza chitunha
vaive vadzokerawo . Zvino ini ziso raive
rangove pana Solo ndakangotarisa kuti
aive asingaendi kudura here ?

Ndakafara nekuti takanosvika pakurara


asina kumboendako . Hameno pamwe
kwaive kudhakwa hako . Mai Ruvimbo
havana kuzombouya panhamo chero
nhau yehuswa hwandaive ndati
hutengeswe handina kuzomboziva kuti
zvakafamba sei ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mangwana acho makuseni takatodziya


hedu moto panze takabva taona
Achimwene kachisvika . Apo
ngakapfupike . Ugoti musi uyu kaive
kakatopfeka bhachi , kubva kaita kamwe
kanhu chaiko . Zvino kana aive afambira
nhau yake isina musoro vana Solo
vaizomurova . Ende ndaida kutoiramba
nhau yacho pavana vangu obva akaura .

End of chapter 29.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 0

Carlton.

Ndakarwadziwa nekurohwa
kwandakaitwa naKenny . Chainyanya
kundichemedza kwaisave kurwadziwa
bodo , ndaishungurudzwa nekuzvibvunza
kuti Saka hondo yaive yatangwa naKenny
iyi yaizopera rini ? . Zuva iri ndiro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

randanyatsoona kuti Kenny aisafarira


kuti ndiitewo zvinhu zvakanaka
muhupenyu . Iye zvaakauya nemusikana
wake pamba tese takamufarira
tikatomukurudzira kuti zvawawana
munhu arovesa hana yako chisiya
zvevamwe vasikana vakawanda . Zvino
iye aitoratidza kuti zvose zvakanaka
anongoda kuti zvive zvake .

Kutaura chokwadi ndakanozvivharira


mubedroom mangu ndikachema
zvekurevesa . Mai Cassie vakawana ndiri
pamariro angu ndega . Ndaive ndisingadi
kuti andione ndichichema but shungu
ndidzo dzaindikurira . Pandakamuudza
kuti ndiKenny aive andirova ndakaona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kubatikana kwake kwese . Ndaida


kumumisa kuti asaendera Kenny but
ndakuda kutosimuka fon yangu yakabva
yarira . Ndaida kurega kudaira but
pandakaona dziri nhamba dzabamkuru
baba Marah ndakabva ndatodaira . Ko
munhu wacho dzungu raivepoka Zvekuti
kana ndaisazoibata ipapa yaitizoita
hondo huru .

Munhu wacho aive asinganzwisisi kuti


fon inorega kubatwa nezvikonzero
zvakaita sekunge iri pacharger or munhu
wambobuda kuisiya . Ivo vaingoda kuti
kana vafona chete isashaye munhu
otherwise waitozonzi warega maune
kuidara .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hello daddy " ndakadaira ndokubva


ndanzwa "hi" aive Malcom . Ko ndaive
ndatorivara nezvake ka ini .
Ndakatobhowekana, dai ndaive ndaziva
kuti ndiye ndakatanga ndateera bae
wangu ndozotaura naye later .

"What's up " ndakamhoresa achibva ati


" ndanga ndichida kungokuudza kuti
daddy is on his way there , varikuuya
kuzotora musikana uye kuti azogarira
kuno akarindira kusununguka then kana
mwana avepo ndozomuroora "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko kana neniwo ndichida kumuroora ?"


Ndakabvunza achibva ati " but
ndakakubvunza wani that day ukati
haumude , Saka iyezvino wakumuda
nekuti ini ndati ndinomuda ? Sei uchiita
kunge une jealous neni Carl ?"
Akabvunza ndichibva ndati " ndaive
ndisingamude Ipapo but kubva
zvandarara naye ndakabva ndatotanga
kumuda . Plus haana kutakura mwana
wengozi Ruvimbo she's carrying my
twins"

Ndakadaro achibva ati " Saka chitori


chokwadi ?" Mabvunziro ake anoratidza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti aive atombonzwa nezvazvo kuti


Ruvimbo akatakura mapatya . Ndofunga
daddy ndivo vaive vafona vachiudza
bamkuru .

" Yes saka machances ekuti umuroore


are very very slim Malcom . Ruvimbo is
carrying my blood zvinova zvinokonzera
kuti ave mudzimai wangu Saka dai
wanga uri umwe wasanotsvaga hako
somewhere else nekuti pana Rurue wangu
haulume "

Ndakadaro achibva aridza tsamwa


ndokuti " chokwadi gudo rakazonhonga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pembe muchitima , kutoti pana Rue


wangu Kkkk seka zvako mwana Simon.
Chaunovhairawo nacho chii iwe Carl
munhu atanga kuziva mukadzi
pamukadzi wengozi? Unonyadzisa Carl ,
zvino wait and see uchimutorerwa nhasi
chaiye nadaddy and guess what , ndanga
ndichida kumbomira ndimurege atange
asununguka ndozomuendesa kuchikoro
ndozomuroora apedza but watozondisiya
ndane dzimwe pfungwa , nhasi chaiye
ndiri kuda kutorara ndichimudya nhasi
chaiye " paakadaro akabva asekera svoto
ndichibva ndati "you'll never fit "

"What do you mean?" Akabvunza


ndichibva ndati " zvandiri kuda kuedza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kutaura wanyatsozvinzwisisa chaizvo


usade kunyepedzera kudzungaira . Ndati
ini chero dai zvainzi baba vako
vabudirira kumutora Ruvimbo iwe
nedora rako hamukwani pandakapinda
ini "

"Saka urikureva Kuti ini ndine kadora


Carl ? Why uchifarisa iwe ? " Akadaro
achiratidza Kuti he was pissed ndichibva
ndati " chagara Chokwadi chinorwadza .
Ndakudroppa call iyi izvozvi. Kubva
nhasi kana unenge usina zvimwe Zvinhu
zviri nani zvekutaura usandifonere .
Mogara muchindidzikisira Kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakaziva mukadzi pana Ruvimbo


unofunga Kuti ndaizviitisa? Ini manje
ndini ndisingarwadzi nekuudzwa
mashoko ? Saka unofunga Kuti Ruvimbo
chero akazonzwa kuti ndakatangira
kuziva mukadzi paari ndipo
paachandivenga here or anotofara and
feel so special kuti awana murume
akazvibata ? Chirega ndikuudze
Chokwadi Malcom, usazvipe tariro
yenhema . Ini naRuvimbo takudanana .
Ndanga ndisingadi kuti zvibude iyezvino
but l don't have a choice anymore ,
ndakutongofanira kuzivisa munhu wese
umwe neumwe azive nzvimbo yake
muhupenyu hwaRuvimbo "
pandakapedza kutaura ndakabva
ndatodimbura nhare asati apindura. Aida

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kundijairira Malcom. Hameno kuti


chaivanakidza chii pakusaita musikana
kwangu makore ese aya, pane kuti dai
vaitondinzwira tsitsi ivo vaitondiseka ,
how evil.

Akaedza kufona zvakare ndichibva


ndarejecta call yake kwakubva ndadzima
fon yangu ndokubuda . Ndichangobuda
ndidzo nguva dzaibudawo Ruvimbo
mubedroom maKenny achichema .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatoshaya kuti aive aitwa sei ? Zvino


kana amurova ndaida kumurova
zvekurevesa chaizvo Kenny . Apa anenge
azoenderera manje . Ndakamusheedza
but akaramba chero kucheuka.
Ndakatevera ndokusvika ndichivhura
door kwakuwana shasha yakarara
pamubhedha ichizviuraya nekuchema .

" Chii babe ? Akuita sei Kenny ?


Akurova ? " Ndakabvunza
ndichimumutsa kwakubva ndaisa musoro
wake pachifuva changu kwakutanga
kumupuruzira bvudzi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva adzungudza musoro achichema


kudaro ndichibva ndati " Saka waitwa
sei ? Please taura neni , takavambisana
kuti hapana achavanzira umwe zvinenge
zvaitika hanty ? Ndiudze hanzi chii ?"

Ndakadaro achibva afemereka neshungu


achimutsa musoro wake pandiri ndokuti
" unondida zvemachokwadi here Carl
kana kuti urikungoda kunditambisa hako
usati wawana umwe waunoda then
ukamuwana wozondisiya ?" For the first
time Ruvimbo akandisheedza kuti Carl .
Ndaive ndajaira kunzi mkoma Carl .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Zvirikubva kupi zvese Izvozvo ?"


Ndakabvunza achibva ati "just answer
my question, chii chaizvo chawakanyanya
kuchiva pavillage girl akaita seni ane
kumba kunonhuwa nhamo ?"

Paakadaro ndakabva ndaziva kuti


mashoko aive ataurwa naKenny.
Chokwadi aiedza nepose paanogona napo
kundipesanisa naRuvimbo Kenny . Zvino
Rue wachonawo kuda humwanana nekuti
anongobvuma kuitiswa naKenny .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Saka Rue waona kuti zvirinani


kuteerera Kenny arikuedza
kutiparadzanisa kupfuura ini munhu
wako ? Zvichireva kuti chero
tikazoroorana munhu akangouya
neguhwa rake achiti Carl adai
unotobvumaka ? Why usingandivimbe ? I
know kuti hunhu hwandakakuitira
tichitanga kuonana hwaive hwakashata
but trust me am not a bad person Rue.
Unomboziva here kuti Kenny anokuda ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabvunza achibva ati " haandidi uyo


atondiratidza musikana wake pafon akati
haadanani nemunhu akasviba nekushata
seni "

Ndakaseka hangu ndokuti " urikuyeuka


zuva riye rawakanditi ndadonha
pamubhedha ?" Ndakabvunza achibva
agutsurira musoro ndokubva ndati " aive
Kenny aive akupindira that's why
uchinzwa akapiwa warning nasekuru
Hondohwe . Kenny anokuda Rue ,
mashoko ose aataura anga asingarevesi ,
ini chaiye akandiudza kuti anokuda Saka
apa zvaanzwa kuti wane nhumbu yangu
abva atoziva kuti machances ekuti
akutore ave mashoma ndizvo akuedza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nepose paanogona napo kutiparadzanisa .


Ari kurwa godo Kenny Rue zvekuti
maitiro awaita aya atomufadza "

Ndakaona kushamisika pachiso chake


achibva ati " munorevesa nekuti musi
uya ndakanyataonzwa kuti hamusi imi
nekuda kwekutonhora kwaiita maoko
acho plus aisanhuwirira " paakadaro
akabva aseka achizvivhara kumeso
nemaoko ndichibva neni ndasekawo
ndokuti " ndinonhuwirira here babe ?"
Ndakadaro ndichinyemwerera achibva
agutsurira musoro ndokubva ndati "
thank you babe but ndinokumbirawo kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kana wazvipira kuti wakupinda murudo


neni uve serious Rue , ini hangu zvitamba
vanana handidi am too old for that . Kana
uchiziva kuti uchazogara uchingoti pose
pawanzwa makuhwa or patagumbirisana
woti hauchandida ndokumbirawo hangu
kuti tigare tangozvisiya nhasi . Wasara
nemwedzi miviri kuti uite 17 yrs Rue
Saka zvimwe zvinhu ita uchishandisa
pfungwa " ndinobva ndasimuka
ndokuenda mudrawer maigara mapin
netsono zvataishandisa kana tichiita
zvemabooks kwakubva ndadzoka
ndokugara pabed ndichibva ndazvibaya
pachigunwe chidiki ndokuti " l love you
Ruvimbo , handifungi kuti ndine umwe
munhu wandichada zvakare asiri iwe .
Ndakuita mhiko yeropa kwauri , kana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

uchiziva hako kuti une dzimwe pfungwa


ndinokumbirawo kuti usananzwe ropa iri
Rue nekuti kurinanzva kuzvisungira
pandiri . Saka iyezvino ndakukubvunza ,
wakazvipira here Rue kupedza hupenyu
hwese uri murudo neni ?"

Ndakabvunza achibva agutsurira musoro


kwakubva ndamunanzvisa chigumwe
changu chaive neropa. Achipedza
ndakabva ndatorawo chake
kwakuchibaya ndokubva ropa rabuda
ndichibva ndati " l love you Ruvimbo and
am ready to spend the rest of my life with
you and our kids " ndakadaro ndichibva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndananzwa ropa riye ndichibva


ndasekerera ndokuti " this is called a
blood covenant , ukadanana neumwe
munhu unokuvara , kana unenge
watoona kuti hauchandida
unongondiramba wogara wega
kwehupenyu hwese zvimwechete
nekwandiri Saka iwe neni tave nyama
imwe . Mira nerudo rwedu Rue . Vazhinji
vachaedza kuda kupinda pakati but
tikabatana chete iwe neni tinokunda .
Love conquers all Rue "

Ndakadaro achibva agutsurira musoro


ndokubva tatanga kutsvodana
ndokutotsva mutambo . Zvekunzi hanzi
chikaranga chapera ndezvavo izvo Isu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

taive toita zverudo rwedu . Takadzokodza


katatu tisina kumbozorora
ndokuzozorora after takudya zvaive
zvabviwa nazvo kutown . At least aive
afara . Nhau yaive yasara ndeyekumudza
nezverwendo rweAmerica . Ndaitotya
chaiko nekuti ndaiziva kuti
acharwadziwa . Ndaive ndazviudza kuti
ndaizokumbira mama votaura naye
nekuti ini ndaitoshaya pekutangira .

Ndaive ndangomirira kusvika


kwabamkuru sezvo vaive vanzi vari
munzira . Ndipo pandaida kutotaura
zvekudanana kwangu naRue uye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichivaudza kuti ndaizotumira mari


yemarooro kana ndasvika .

End of chapter 30

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 1

Sekuru vaChido.

"Tishikewo pamusha" chakadaro


achimwene neascent yechichewa
chichibonda maoko ndikaita sendichafa
zvangu neshungu . Chimunhu
chaindimara ichochi . Ugoti musi uyu
chaive chakapfeka bhachi dema raiita
kunge richasvika kumakumbo nekuda
kwekupfupika . Ugoti chimunhu chacho
chaive chakasimba chine chifuva chiri
mberi kunge chedendera zvese nemateya .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakaramba ndinyerere ini kusvika


Freddy azoti " ko hamudairi here
baba ?" Ndakaridzira tsamwa mumwoyo
ndokuti " daira iwe "

Uyo mutemo wavaitoziva vana vangu kuti


pangu pamba chero munhu akasvikisa
haudairi kunodaira baba chete zvinova
ndizvo zvakaita Kuti Freddy arambe
anyerere .

Freddy akanditarisa neziso riya rekuti


zvamboita sei chaizvo nhasi kwakubva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndatoona Kuti maitiro andaive ndoita


aive akutoita Kuti Freddy aone Kuti pane
chinodaro ini ndaida kuramba
kwakubva ndati " svikai " ndakadairira
mumhino ndokubva chaombera
chichisvika . Freddy anobva aswededza
chituro kudivi kwachaive kwakubva
chati"aiwa musazvinetse henyu baba
ndogara pasi " chaidaro chichitogara pasi
chaipo.

Freddy akabva anditarisa zviya


Zvekubvunza kuti chii chirikuitika ini
ndichibva ndatarisa divi . Chinobva
chatanga kubonda gusvi achimwene
chichikwazisa Freddy hanzi " tiise maoko
baba " zvinhu zvacho zvachaiita zvaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

funny zvekuti Freddy asina kutarisira


aive adambuka nekuseka dzinova ndidzo
nguva dzaibudawo solo mumba
achizamura . Iko haaingarega kumuka
masikati nekuda kwekudhakwa kwaaive
akaita zuro wacho . Anobva atanga
kufamba achiuya kumoto kwataive
achiti" asi munyasarandi uyu ave
mukwasha wepano kani? Ndiani hake
iyeye akatiitira mashura ?" Solo
aingopunyukirwa veduwe . Kuti asefewo
mashoko ekutaura aive asingakwanisi ,
wotoshaya kuti zvinombova pai chaipo .

"Handisi munyasarandi ini ndiri


Muchewa " kakadaro Achimwene
kwakubva zvanzi naSolo " haiwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakangofanana mhani , chitoitai


muchitiudza kuti tingakubatsirai nei
nekuti muchipedza ndirikuda kupinda
mudura umo pane zvandiri kuda kutarisa
" paakadaro mudumbu mangu makabva
marira nekuvhunduka . Ugoona ndini
ndaive ndavarambidza kudzokera
nemota yaive yauya nechitunha ndichiti
hazviiti kuti mukoma achangochengetwa
ivo vobva vatoendawo . Pamwe dai
ndakarega zvakadzokera pasina zvose
izvi . Sechichi chekuonda ichi chaitoita
kunge chine zvakachigara chaiko .
Hameno kuda inhau yokuchipa zita
rababa vangu kwandakaita ivo vaive
vakandivenga .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ndauyawo vana baba , sekuru vaiuya


vachitora mari kumba kwangu madiro
nembudzi vachiti vachazondipa mukadzi
Saka ndiye wandatovinga nekuti nguva
yacho yareba ndichingodyiwa pasina
chandinowana . Makore maviri atokwana
vachingouya vachitora zvinhu .
Vakambotanga vachiti ndimire makore
maviri nekuti musikana wavari kuda
kundipa achiri mudiki ndokuzonzwa
vakundiudza kuti musikana wavaida
kundipa vakamuendesa kunoripa ngozi
achadzoka after 2yrs ndozomuroora .
Ndaive ndabvuma hangu asi ndakazoti
ndagara ndega pasi ndichifunga ndipo
pandakabva ndaona Kuti 2yrs hadzisi
dzokutamba plus ndaive ndaona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musikana wepano akaita yerobhoni uya


arikufambidzana nababa Fidhe
vekwaTsuro Kuti akura ave kurooreka
ndichibva ndaona kuti ndiuye ndipiwe
iyeye zvirinani , kwakubva ndataura
nasekuru swerazuro vachibva vatanga
kundituka but ndakatovaudza Kuti
zvenhamo zvikapera ndirikuya kuzotora
mukadzi ndizvo muchiona ndiri pano "

Akapedzisa achidaro kwakubva aombera


maoko ndokubva Freddy atarisa
kwandiri ndokuti " ichokwadi here
chirukutaurwa ichi baba ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndisati ndapindura Solo anobva ati " but


ini handioni hangu sekuti ibad idea kuti
Chido aende kana Achimwene vachitipa
imwe mari plus mombe pamusoro .
Zvitori nani aende kwaachimwene
pakuenda kwababa Fidhe vane vakadzi
vashanu kana vasina kutozowedzera
vamwe vaviri ndisisipo . Chokwadi kana
mombe iyoyo ikauya ndingatorega
zvangu kudzokera kumakomba
ndotengesa iyo ndombodya mari "

Akadaro Solo achirova kajaivi kuratidza


kuti aive afara chaizvo . Chokwadi
Solomon munhu vanhu vasipo . Kuti
atarisewo chimunhu chacho chaiti
chinoda Chido bodo . Hongu kudanana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

naMupostori zvinhu zvakashata but kuti


aende Kuna Achimwene kana . Iko
aitonyepa hake achimwene kuti Chido
anodanana naMupostori. Chido aive asati
ave kumboita zvevarume uyo . Dzinenge
dzaingove nzira dzekuda kuwana kupiwa
Chido zvakanaka chete nekuti kana
aiziva kuti anodanana naMupotsori
sekutaura kwake, chaiita kuti arambe
ingomuvavarira chii ? Pfungwa dzangu
dzakada kumbodzokera Shure pazuva
riye randaibva kwasekuru but
zvakandirambira nekuti Chido
ndakamuwana achitobika pano .

" Ndinowedzera nembudzi nhatu "


kakadaro kwakubva Solo ati " aiwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaita mkwasha, Chido ngaatouya pano


aende kumurume . Tinototenda Mwari
nekuti arikubvisirwa pfuma, kunotova
nevamwe vatochemberera mudzimba
vasina Chero kubvisirwa tsvakirai kuno
saka isu pano tawanirwa nyasha , plus
Chido idofo kuchikoro ngaaende hake,
Chidooo ! "

Akadaro achisheedzera Solo ndichibva


ndatoona Kuti aitove serious mupfana
uyu kwakubva ndati " hakuna Chido
arikuenda kuchikwambo ichi . Sei uchida
kundijairira Solomon iwe ? Unoda
kumbozviita ani chaizvo pamba pano ?"
Ndakadaro ndoviruka nehasha kwakubva
naye asimukawo pachituro paaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akagara ndokuti " Saka


zvamaiimuvimbisa mukadzi maida
kumupa ani ? Hanty maidya mari
muchiziva henyu Kuti mukadzi
wekumupa munaye, mupei "

Akadaro ndichibva ndati " ndaive


ndamuvimbisa Ruvimbo kana adzoka
kunoripa ngozi Kuti ndiye
waachazoroora , Saka chirikuita kuti
asade kumirira Ruvimbo chii ?"

Ndakabvunza Freddy achibva aseka


zviya zvine kurwadziwa mukati
achirovanisa maoko achibva ati "Seiko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mune mwoyo wakashata kudai baba ?


Saka munoreva here kuti murikuda kuti
Ruvimbo atange adzoka kunoripa ngozi
motosvika muchimupfuudza asina kana
kuzorora muchimuendesa
kunowanikwa ? "

"Bvunza hako Fguy " Akadaro Solo


achidzokera kunogara pachituro
ndokubva ndanyarara ini . Freddy
akanditarisa nemaziso aive akatsvuka
misodzi ndokuti "ndipindurei baba , chii
chaizvo chamakambonyanyo tadzirwa
namainini mai Ruvimbo
chamunovapanisha nenzira inorwadza
kudai ? Inga chero bamnini
vaingokuremekedzai zvainwisa mvura
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wani ? Ivo mainini chaivo


vanokuremekedzai , ndiudzei pane nyaya
yenyu chaipo ?"

Akadaro achibva apukuta musodzi


wanga wadonha kune rimwe ziso
kwakubva ndati "Saka maida kuende ani
kunoripa ngozi nhai Freddy imi
muchinyatsoziva kuti Ruvimbo ndiye
muhombe ?"

" Ruvimbo naChido vakasiyana chii


baba ? " Akabvunza ndichibva ndati "
chero dai vakaenzana, Chido ndiye ega

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mwana musikana pano , uko kwamai Rue


kurinani nekuti vane vatatu "

Ndakapindura achibva ati " Saka


zvekuve vatatu kwavo zvine basa rei
ndevenyu here ? Munofunga kuti
vanonzwa sei mainini mai Ruvimbo
muchidai vana vavo ? Ivai nemwoyo
baba, ndaishaya kuti sei tiri marombe
ekupedzisira kudai , munenge
munotisimudzira mhepo baba imi.
Ugoona ndaimborambirana naSolo achiti
makaromba , iyezvino ndakuzvibvuma .
Munofanira kutivhurira dura iro nhasi
chaiye tizvionere tega kuti hamuna
chirimo , ndati nhasi chaiye baba "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro Freddy nevoce raive noukasha


kwakubva ichi chokusakwana chatanga
kuridza muridzo chichirova maoko hanzi
" nhasi topinda mudura naFreddy"
Kutaura chokwadi ndakaita hasha . Vana
ava vaive vakutondinyadzisa pamberi
paachimweneka ? Zvino mudura
ngavakanganwe havo . Kuti zviite
chiremera ndakabva ndatanga kusvimha
misodzi yengwena . Ndaiziva Kuti
pachivanhu chekwedu zvinhu zvaiyera
Kuti zvinzi mwana abudisirwa misodzi
nababa. Waitofanira kuripa chaiko Kuti
zvinzi baba vakuregerera . Kuti
zvinyatsobuda ndakatoona iri iyo yega
way out .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndatanga kuchema ndichiti "


zvokwadi vana vandakabereka ndimi
mave kundishungurudza kudai imi?
Chokwadi mungarwadziwe nekuti
Ruvimbo auye achienda kunowanikwa
naAchimwene kusvika pakundipumha
huroyi ini ? Chii chinoshamisira
pakunoroorwa kwaRuvimbo ?hanty
agara achazongowanikwa here zvine basa
rei ?"

Ndakadaro ndichiti ndavagona ndisina


kuziva ndaive ndatoirasa nekuti Solo
akabva ati " sezvo Chido agara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achazongowanikwa ngaachitorongedza
Izvozvi aende kwaAchimwene . Ruvimbo
pake akatopedza achidzoka arikuuya
achienda kuchikoro ozoroorwa
nemukomana waanoda.
Zvenyu Zvekuti mude kutityisa nemisodzi
yengwena mudhara ngazvimbomira izvi .
Tirikuda kuronga zvinofamba isu .
Hamungadyi mari yemunhu makavimba
kuzomupa mwana asiri wenyu kuita
sekuti ndimi makavarera vana Ruvimbo
vacho. Chido ndiye arikutoenda
kwaAchimwene izvozvi ipapa , plus
papfuma ichauya imi hamuna
chamuchawana , yenyu makatodya in
advance Saka irikuuya iyezvino ndeyangu
naFreddy sezvo tiri isu ana baba vaChido
vasara "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akapedzisa achidaro achisheedzera


Chido zvakare .Ichi chokunakira kure
ichi chaive chongozhinya chigere pasi .
Nxaa ndakasvotwa fani . Zvino Chido
ndiye wandaizonotora chete Chero
zvadii ?

" Unomudiiko Chido nhai Solo ? Kubva


kuseni haasati ambomuka uyu , anenge
arikuda kubatwa nenyon'o nekuti ave
nemazuva achingorutsa" vakadaro
mbuya vaChido . Neniwo ndaive
ndamuona achirutsa hangu . Aaa shame
my poor granddaughter.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Mukati haisi mimba yamupostori


iyoyo ?, Endai munosheedza mbuya
vaZumba vauye vamutarise" Akadaro
Freddy hana yangu ichibva yarova .
Ummm handifungi kuti ingava nhumbu
ini . Nhaimi ndigonyarira pai muraini .
Chero mashoko andaigara ndichiti Chido
achachata , ozongove pasina here ?
nhaimi ndaizonyura pai ? Worse ikazova
yamupostori zveshuwa ndingafa nebp
zvangu . Mupostori ane vakadzi
vatanhatu ndizvo akapiwa zita rokuti
mupostori nekuti aifananidzwa nevarume
vechechi yeJohani Marange panhau
dzekuroora vakadzi vazhinji.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ngaauye atarirwe tione murume wake


akamumirira " Akadaro Solo
achitofamba kuenda kukitchen kwainzi
ndiko kwakarara Chido .

End of chapter 31.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 2

Ruvimbo .

Hama dzangu ndakanyara nekahunhu


kandaive ndaita . Ugoona ndini ndaive
ndatoisa point iyoyo yekuti hapafaniri
kuva nemasecrets mumba. Taive
tawirirana Kuti munhu kana unenge une
chawanzwa chisina kukufadza unofanira
kubvunza umwe wako zvikuru Kana
Zvinhu zvacho zvinenge zvabva Kuna
Kenny , asi ini ndini ndaive ndatotanga
nekutoputsa chirangano .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kutaura chokwadi ruvengo rwangu Kuna


Kenny rwaiwedzera everyday . Ugoti
kupusa kwacho , anofunga Kuti chero dai
ndaive ndisingadanani naCarl
atombondiudza mashoko akadaro
ndaizomuda here ? Ini chero kutarirwa
nhumbu chaiyo naKenny ndaive
ndakutotya hangu . Munhu akadaro
haasi wekuvimba , chero nhumbu
anogona kukubvisa achiitira shaisano
nekuti godo rake chero remuroyi raisara
pasi . Ndakazviudza Kuti ndaifanira
kutambira kure kure chaiko naKenny .
Mvura yemufridge kana drink chairo
rinenge riri mufridge ndakabva
ndatozviudza Kuti handichabati . Mvura
ndaizonwa patap drink ndonwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

randazvivhurira ndega . That way


ndaizokwanisa kuprotector vana vangu
Kuna Kenny.

Chero iko Kuti ave iye anonditarisa


ndaive ndisingachadi hangu nekuti
nehunhu hwake hwakafumuka kudaro
ndinogona kungobatwa chibharo . Kana
munhu akamboita ushingi
hwekundipindira chingamutadzisa
kundibata chii ? , Ndainzwa kusvotwa
kutaura chokwadi . Kubva zuva iri l
vowed to myself Kuti l will stand by our
love . Plus neblood covenant
yandakaitiswa naCarl yakabva
yandiratidza Kuti aindida zveshuwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tiri busy kurezvana hedu naCarl takabva


tanzwa kutaura kwainge kukakavadzana
downstairs.

"Damnit , bamkuru vauya" akadaro


achitomuka kupfeka . Maitiro acho
pairatidza Kuti pane nyaya but handina
hangu kuda kubvunza nekuti Carl aigona
kuzofunga Kuti ndiri munhu anoda
zvinhu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ndirikudzoka babe " akadaro


achinditsvoda pamhanza kwakubva
abuda . Maitiro acho aitoratidza Kuti
munhu aiziva zvirikuitika . Semunhu aive
aneta nebonde handina kuzombononoka
kubatwa nehope . Ko Carl aiti kana
azvitangidza anenge asisade
kuregedzaka . Semusi uyu hanzi matwins
arikuita makwikwi ekundiruma
nemavende . Hameno Kuti matwins acho
aive atove nemuromo rini ivo aive vasati
vambokwanisa kana mwedzi chaiwo ?.

Zvisinei ndakatozorara zvekuenda chaiko


ndokutozopeputswa namama

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaindimutsa . Kwaive kwakutodoka baba


Cassy vasina kumbobvira vadzoka .

" Hande unondibatsirawo kutemha


muboora kugarden . Ndoda
ugozotibikirawo iwo nhasi ugouisa dovi "
vaidaro vachivhura mahwindo .
Mafinyamisiro avaive vakaita chiso
vairatidza Kuti vane smell yavainzwa.

" Chienda kunogeza ndichimboita


zvimwe mukitchen " vakadaro ndichibva
ndamuka ndakupinda mubathroom .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive ndakasviba chaizvo nekuti kubva


zvataive tatamba taive tisina kumbobvira
tageza nekuda kwekuneta . Ndakageza
fast ndokubva ndabuda ndakuenda
kukitchen kuna mama .

Ndakawana muri imo maive naCarl


nababa Vaya vainzi ndiye Mukoma wana
baba Carl muhombe . Ndakapfugama
ndokubva ndavakwazisa but pane kuti
vandipindure zvakabva zvanzi "wave
kutopromota chihure pamba pano ka
Shelton ?" Vakadaro kwakubva baba
Carl vati " ndapromota chihure chipi?
Ndaita sei ? " Vanobva vanditarisa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mumaziso zvakare ndokubva vati "


chikaranga chakapera nezuro but kuneta
kwemeso emusikana uyu kunoraridza
kuti munhu anga achiita bonde "

Pavakadaro ndakanzwa kunyara


zvekushaya pekupinda chaiko . Kurevesa
vaitorevesa havo nekuti ndainzwa kuneta
kwanyanya but hazvisi zvinhu
zvingataurwa nemunhu watezvaraka
izvozvo . Ndakaona Carl achindicheka
neziso achibva anditsonya achibata
setswa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Saka ndizvo zvinhu zvamungataura


muroora aripo here izvozvo mukoma ?
Seiko makafumuka kudaro imi? "
Vakadaro baba Carl vachiratidza kuti
vaive nyadziswa nehunhu hwemukoma
wavo.

" Huya my baby " vakadaro mama


vakadongorera. Ndakabva ndasimuka
ndakatsikitsira ndichinzwa kunyara
nemaitiro ababa ava. Nhaimi
ndaizotarisana sei nababa Carl?
Chokwadi murume mukuru akadaro
anongoti Chero ndataura ? .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pandakapinda mukitchen mama vanobva


vadongorera musitting room zvakare
ndokubva vadzoka vachiridza tsamwa
kuratidza Kuti vaive vabhowekana
chaizvo . Vanofanira kunge vaive
vakateerera paitaura mudhara uya.

" Nxaa , havana kukwana baba ava .


Chokwadi Zvinhu zvingataurwa
nemurume mukuru achena imvi kudaro
kumuroora ? Rega vachizonzi ndivo
vakauraya muroora nemwana wavo
nekuti zviito zvavo zvakafumuka .
Chokwadi munhu kushandiswa nemwana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuitwa kunge pwere kudaro? , Malcom


ndiye atove baba ivo ndivo vave mwana .
Fon chaiyo vakungogara vasina ichigara
naMalcom . Kubva kana Malcom ane
secret yavo yaanoziva ? Umm inofanira
kuve hombe chaiyo nekuti ummm ,
mamwe matongerwo avanoita anotisiya
tine question mark "

Vakadaro mama vachitaurira pazasi


vachipopota . Ndakangoramba
ndakanyararawo ini , ko ndaizoti chii
nhaimi? Plus ndaive ndisingatoziviwo
Kuti vafambirei kubva kumba kwavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Hande kugarden mai Cassie ndoda


utibikirewo nhasi " vakadaro tichibva
tabuda . Baba Carl nemukoma wavo
vairatidza Kuti vaikandidzana mashoko ,
ndisingazive hangu Kuti yaive nhau yei ?.
Uyu Carl ndiye aive akangonyarara hake
akatsikitsira.

Tichisvika kugarden takabva tatanga


hedu kutanha muboora namama tichiita
nyaya . Pavakaona ndisina kupindura
nhau yabamkuru vavo havana
kuzomboitaura zvakare .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Mai Cassie my dear !" Vakasheedza


mama kwakubva ndadaira vachibva vati
" ndine nyaya yandinoda kutaura newe "
vakadaro vachiratidza kuve serious
kwakubva ndati " taurai henyu mama "

Hana yangu yakarova ndakufunga Kuti


pamwe mama vaive vaziva zveshuwa kuti
taive taita musikanzwa after chikaranga ,
or Carl sezvo aive ati ave kunotaura kuti
takudanana pamwe vaida kuti hazviite
kuti tidanane ? Kutaura chokwadi ndaive
ndongofunga zvakawanda wanda.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Carl ataura kuti mave kufambidzana "


vakadaro ndichibva ndamira ndakabata
boora mumaoko ndichibvunda .
Zvandaifunga chaizvo ndizvo zvaive
zvoitika . Veduwee ... Rega zvakanzi
murombo haarovi chinenguwo chokwadi.
Nhamo chaiyo inokonzera kuti ushaye
chiremera . Hauchatofaniri kuroorwa
nemupfumi kana uchitambura . Hameno
kuti Mwari vakapasika sei ipapa kuti
vamwe vanhu vanongozvarirwa
muupfumi vochembereramo kusvika vafa
isu vamwe tiri vekutambura . Hameno
kuti varombo denga vanopinda here
nekuti upenyu hwavo ndehwekugara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachingochiva zvinhu zvevamwe pamwe


nekugara vakabatikana nenhau yekugara
vachidzikisirwa nevapfumi .

"I-icho-ichokwadi mama "


ndakandandama ndichibvuma nekuda
kwekubvunda ndichinzwa misodzi
kuvavira mumaziso angu kwakubva vati
" isu sevabereki vaCarl hatina hedu basa
nazvo as long imi vaviri mawirirana chete
zvimwe zvese zvinozotevera . So far
vanhu vasati vaziva ndiKenny natete
chete avo varikuzoziviswa nhasi manheru
"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro ndichibva ndatura mafemo


ndichinzwa mwoyo wangu kufara
ndokuti " maita mama, ndinotenda chose
nerudo rwenyu . Handina kuziva kuti
mungabvume kuti iniwo Ruvimbo zvangu
razaro asina chaainacho ndiroorwe
nemwana wenyu "

Ndakadaro zvichibva pasi pemwoyo


wangu ndichipukuta misodzi yaiyerera
kwakubva vati " ko kutambura kune
basa rei nhai Rue ? Inga ini ndakakuudza
nhoroondo yangu wani? Ukaona munhu
anotsvinyira munhu anoshaya haasati
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aziva upenyu . Unoti tsumo yevakuru iya


inoti ramangwana rinozikanwa nebenzi
itsumo yekutamba here ? Mangwana
unomuka wokwangwaya uya
wawaitsvinyira asimukira . Hupenyu
ivhiri mai Cassie mwanangu asi hazvisi
izvo zvandanga ndichida kutaura hangu "

Vakadaro ndichibva ndati " maita basa


mama taurai henyu" vanobva vagadzirisa
pahuro ndokuti " baba Cassie akawana
basa kuAmerica saka kutaura kuno vhiki
inouya haifaniri kupera asati asvika . I
know kuti muchangotanga kudanana
mwanangu uye hamudi kushayana but

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rudo nebonde hazvidyiwi . Muchipedza


bonde dumbu rinenge risisina chinhu
richida chikafu. Saka chikumbiro changu
ndechekuti umedze marwadzo mwanangu
urege murume aende kubasa. Vana
vawakatakura ava vachizvarwa vanoda
kudya zvose nekupfeka . Zvino kuti
zviitike zvose Izvozvo hunge baba vavo
vaenda kubasa . Kana vakanoshanda
vakawana kuchigarika avimbisa kuti
anozokutorai zvese nevana monogarawo
ikoko , hameno kuti unozvionawo sei ?"

Vakabvunza vakanditarisa ndichibva


ndati "vanoenda havo mama hapana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

problem " ndaitonzwa kuda kuridza


mhere chaiyo asi ndaizvidzora . Carl
ndaive ndisisade kumushaya but mama
vaive vataura mashoko ane hudzamu
nekuti zveshuwa mushure mekudanana
kunoda kudyiwa . Hanty pataive taita
marounds matatu aya taive tatove
nenzara ndokutodya chikafu chandaive
ndauya nacho ? Chero zvairwadza
ndaifanira kutongorega Carl aende
kubasa .

" Don't worry ndiripo ini


ndichakubatsira panhumbu plus ndine
rimwe zisuprise rako mangwana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

makuseni " vakadaro vachisekerera


ndichibva ndatoshaya kuti raive zisuprise
rei iroro . Zvisinei ndakangoti
ndaizoriona mangwana risuprise racho .

Takafurura boora riya kwakubva


tarigeza patap yaive mugarden imomo
ndokubva taisa mudish ndokudzokera
mumba umo matakawana musindo
wakura . Baba Carl vaive vakabatiranwa
naCarl naKenny vachiratidza kuti vaida
kurova mukoma wavo. Iye mukoma
wacho paakangoona kuti baba Carl
vamuka chipembere vakabva vatangawo
kupopota vachienda kumota yavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ugoti munhu wacho aitofamba nezimota


zisvinu fani . Mama vachienda musitting
room maive makabatirwana daddy ini
ndakabva ndapinda mukitchen
ndakunocheka boora kuti nditange
kubika . Mama vakatoenda nadaddy
kubedroom kwavo ndofunga vaiedza kuti
vaite calm .

Karen ndiye akatozouya ondibatsira


kubika nekuti mama havana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuzombodzoka . Kenny naCarl vaiona


bhora patv Saka hapana akambouya
kukitchen.

Ndakabika ndikapedza tikapakura tete


vachiseta table . Tichipedza ndidzo nguva
dzaipindawo mama nadaddy kuita sekuti
vaive vafembera kuti chikafu chaibva .

" Wow , matopedza girls rangu ?"


Vakadaro mama vachiona ndiro
dzakavharwa zviri neat dzakarongwa
naKaren Kwete zvekutamba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Tapedza mama tatongomiswa nemi "


ndakapindura kwakubva vatosimuka
vose kuuya kutable . Takagezesa vanhu
maoko kwakubva takutanga kudya .
Taidya murunyararo uchingonzwa vanhu
vachiridza mukanwa kuratidza kuti
varikunakirwa .

" Zvambonyanyoita seiko nhai Kenny ?"


Ndakavanzwa daddy vachidaro ndichibva
ndasimudza musoro kutarisa kwaaive.
Iye aive atotsikitsira hake Saka hapana
akaziva kuti daddy vaitaura nezvei ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Kasikai mupedze ndine zvandinoda


kutaura munhu wese aripo " vakadaro
ndokubva tese tabvuma hedu . Taive
tangomirira kunzwa kuti yaive nyaya
yeyi ?.

End of chapter 32.

C H A P T E R 3 3

Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pandakaona nguva dzafamba bamkuru


vasati vasvika ndakabva ndatofunga kuti
pamwe Malcom aive andinyepera nekuti
kumusha kwavo nemuHarare
zvaisambova kure nakure. Rue ndaive
ndisina kumbomuudza nezvabamkuru
uye kuti vaivingei ? Ndaizviziva hangu
kuti hapana pavaizombomutora Shelton
aripo hazviite.

Daddy vaidya gaka rinovava neminzwa


yaro zvekuti chero idzo hama dzavo
dzaitoziva kuti Kuna baba Simba
kumukwidza . Chero madzikoma avo
chaivo vaisazeza kumirisana navo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muzvibhakera , but vaireasoner manje


vaisangoita zvinhu zvisina pfungwa .
Chero Iko kutsamwa kwacho
vaisangotanga nako . Vaitombokupa
nguva vachikuonesa , kana ukazoramba
wodzikaka ndipo pavaizokudzidzisa
chikoro .

Takaramba takarara hedu nababe wangu


tichironga zvehupenyu nevana vedu .
Yandisina kumbobvira ndatanga yaive
nhau yekuAmerica . Iyo ndakangoti
ndaizoisiira mama nekuti
zvekuchemerwa ndaisada hangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tiribusy kutaura hedu ndipo


pandakanzwa voice rabamkuru .
Zvakaoma chokwadi , ndaive ndisina
kuziva kuti bamkuru vaizoitiswa
naMalcom kusvika pakufambisirwa
zvinhu zvisina basa rese izvozvo .
Ndakabva ndatomuka ndisina kana
kugeza kwakupfeka ndichibva
ndamhanya downstairs. Ndakawana
shasha irimo yakabata tsvimbo
muruoko . Ndakavakwazisa vasina
kupindura kwakubva vati " Malcom
akandiudza kuti wakati musikana uya
akauya kuzoripa ngozi haumude saka iye
arikuti anomuda hake ndizvo ndanga
ndatouya kuti sezvo zvechikaranga
zvakapera ndizomutora azogarira kumba
kuitira kuti paanongosununguka chete

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Malcom otomutora kuenda naye New


Zealand mwana ounzwa kuno zvino baba
vako varikuramba hameno kuti varikuda
kuzomuroora Ivo here vamuite mudzimai
wechipiri ?" Vakapedzisa vachidaro
vakati vadenha mago kuna daddy .

Kakonye kavo kehasha kaive katosimuka


ndichibva ndavamisa neruoko ndokubva
vanyarara ndokubva ndati " pamusoroi
ana daddy mose namama . Ndanga
ndagara hangu ndichazvitaura manheru
ano but sezvo daddy vahombe varipo iri
iyo nhau yavafambira zvakare ndaona
zvakakodzera kuti nditongoiparura
izvozvi . Nyaya iripo ndeyekudai ? Ini
naRuvimbo takudanana . I think mose
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

munonyatsoziva kuti ini handina


kumbobvira ndakaita musikana and l
think the both of you knows why ? Saka
mudzimai wandakatsvagirwa nasekuru
vangu ndiye wandiri kuda kuroora . Gore
rino harifaniri kupera ndisati ndapedza
kubvisira Ruvimbo saka yaaa, daddy
Ruvimbo ave mudzimai wangu hapana
kwaari kuenda "

Ndakadaro ndichibva ndaona daddy


vangu namama vonyemwerera . Vanobva
vati " wagona son, Ruvimbo is a good girl
you have our blessings hantyka mama ? "
Vakadaro vachisekerera kunyatsoonekwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mufaro wavo wese kwakubva mama


vabvuma vachinyamwererawo . Mama
kana bamkuru varipo vaive
vasingataurisi . Vaivanyara hanzi
ndivatezvara . Zvino munhu wacho
ainyarwa ndiye wese .

"Asika kuna Malcom wakati haumude


Simba , Saka iyezvino chachinja Chii ? "
Vakabvunza bamkuru vachiratidza
kubhowekana kwavo kwese kwakubva
ndati " zvakazongozviita zvega daddy ,
chero ini ndakadai ndaive ndisina
kumbozvitarisira . I think ndozviya
zvandambotaura kuti Sekuru pamwe

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndidzo dzaive nzira dzavo


dzekunditsvagira mukadzi "

Ndakadaro vachibva vati " aiwa hazviite


Simba , izvozvi zvawatoita zvekudanana
nemukadzi wengozi watoita mhosva
hombe kuvadzimu yauchapanishwa
kwehupenyu . Hautori mukadzi
wevadzimu uchiita wako "

Vakadaro kwakubva daddy vati " Saka


zvamuri kuziva izvozvo imi murikudei
pano ?" Vakabvunza kwakubva
bamkuru vati " handina kumboti
arikunoroorwa nhasi ini , achamumirira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kusvika asununguka ozoroorwa hake .


Ndinoremekedza vadzimu ini handiite
sewe baba Simba . Izvozvi tarisa uone
kuti chikaranga chakapera zuro asi
Simba arikunhuwa bonde kuti kutuu ,
handifungi kuti ambogeza ini zvaapedza
kuriita "

Kutaura chokwadi ndakanyara .


Vairevesa havo kuti ndaive ndisina
kumbogeza zvandaive ndapedza . Chero
mama vakabva vatosimuka kupinda
mukitchen ndofunga vaive vabatwawo
nenyadzi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Daddy vakatura mafemo ndokuti


"massage yandakuisirai ndichitaura
zvataurwa nasekuru Hondohwe manga
maiona here mukoma?" Vakabvunza
kwakubva bamkuru vati " massage ?
Ummm handina kumboiona ini yanga
ichiti Chii ? Kungoti mazuvano foni
inogara naMalcom akati achazondipa
kana odzokera"

Chokwadi zvakaoma, bamkuru


zvavaitoitiswa naMalcom nhaimi ,
zvichireva kuti aive aiona massage
achibva arega kuudza baba vake maune
ndokubva atovatuma kuzotora Ruvimbo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Malcom ibasa chokwadi ,asi navowo


bamkuru vaizvinyanya . Chokwadi
munhu kutora mwana kumuita Mwari
kudaro ?.

"Saka munoreva kuti hamutorina foni


izvozvi ?" Vakabvunza daddy kwakubva
bamkuru vati " handina ini , ko
ndinogoidii Iko kwandiri kuenda
ndichikuziva ?iwe chingondiudza kuti
massage yacho yanga Chii chete "

Daddy vakuda kupindura ndidzo nguva


dzaipindawo Ruvimbo . Aive ageza
achinhuwirira sekutaura kwake. Ummm
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukadzi wangu akazvinakira hake .


Miviri yedu ndiyo yaive yakangosiyana
chete nekuti ini ndaive murefu plus
ndakatisimbei zvino Ruvimbo aive ane
muviri mudiki asi akanyatsoumbwa
zvakanaka uye ari mupfupi . Vasina
kana kumirira kumhoreswa vanobva
vatotanga kuhumana . Haiwa , chero
ndakamboona munhu asina
kunyatsokwana bamkuru vaive mberi .
Ini ndaive nani , ko Ruvimbo munhu
wemuroora nhaimi ? .

" Ndicho Chii chamunoita ichocho nhai


mukoma ? Zvinhu zvekutaura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kumuroora here izvozvo ? Seiko


musingakuri imi ?" Vakabvunza daddy
kwakubva bamkuru vati " ndirikutaura
chokwadi , ko kutaura zvandirikuona
imhosva here ? Ndati ndiudze kuti
massage yaive yakanzi chii tisiyane
nezvinhu zvisina basa izvo " vakadaro
vasina kana hanya kwakubva daddy
vadzungudza musoro wavo zvekupererwa
zviya kwakubva vati " ndange
ndakanyora kuti sekuru vati muroora
akatakura matwins Saka sekuziva kwedu
mapatya haaverengwi pakuripwa
kwengozi Saka vana vakatakurwa
nemuroora ndevaCarlton so far.
Zvinoreva kuti kutokutumai kwaaita
kuno anga atoona massage achibva arega
kukuudzai nekuti ndaiisa kuseni chaiko "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisa vachidaro daddy kwakubva


bamkuru vati " zvinoreva kuti iwe baba
Simba naHondohwe mune rimwe .
Makanyatsoziva kuti mwana uya haana
kubvumiwa nevadzimu muchibva
mawirirana kuti zviite sekuti abvumiwa
uchiitira kuti dera rako iri riwane
mukadzi . Chokwadi makaoma vanhu
imi . Dai aive abvumiwa nevadzimu
kubva pakutanga hapaimbofanira kuitika
mistake yakadaro. Chokwadi wakaoma
Shelton naHondohwe wako" vakadaro
bamkuru, tisina kutarisira vaive
vadonhedzwa nespear nadaddy .
Matungirwo avakaitwa aive akaoma
zvekuti ndakavhunduka . Luck nderekuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kenny ndidzo nguva dzaaipindawo saka


takazokwanisa kukatanura daddy pana
bamkuru tese .

"Wagara haudi kuudzwa chokwadi . Iwe


naHondohwe munozivana . Muri matsotsi
mose varoyi vevanhu . Zvino iyi
yamatanga iyi hamufi makaipedza .
Hamungatiiti vanhu venyu isu . Kana dai
waida kungotsvagira ngochani yako iyi
mukadzi wakadii kungotaura zvakanaka .
Akandiudza Malcom kuti anovata
nevarume mwana wako uyu ndizvo asina
mafeelings nevanhukadzi " vakadaro
vachibuda mumba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nhaimi Malcom zvaanemashura .


Kutaura chokwadi ndakarwadziwa .
Ndakaona daddy vachinditarisa
ndichibva ndatanga kudzungudza musoro
kuti manyepo daddy ndichidzokera
shure . Ndaive ndatotsvukisa maziso
nemisodzi kuri kutya kurohwa .
Ndakafema mama pavakavatora kuenda
navo kubedroom . Chandaive
ndongonamata ndechekuti dai Ruvimbo
akadaro asina kuzvinzwa hake,
ndaizorambwa masikati machena .

"Saka anozviziva here Ruvimbo kuti


unoitwa kumanyowa ?" Akabvunza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kenny achizhinya ndichibva


ndadzungudza musoro wangu zviya
zvekurwadziwa ndokuti " unozviziva kuti
handisi ngochani Kenny why urikuda
kungotsvaga mashoko pasina ?"

Ndakadaro achibva ati" ndinozvizivirepi


ini ? Ndinofamba newe kwese
kwaunoenda here ini ?" Ndakatoona kuti
aitsvaga zvemashoko ndichibva
ndazvinyararira . Akatomboedza kutaura
asi handina kumupindura kusvika
azongonyarawo . Ndofunga aive oitira
kuti Ruvimbo azvinzwe aibika
mukitchen.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chikafu chakauya tikadya . Umm


chainaka . Rue aigona kubika chokwadi .
Ini muriwo une dovi ndaisaufarira but
waRue wainaka . Hameno maybe
ndezvekuti waive wabikwa nemunhu
wandinoda . Ndakanzwa daddy
vachitsiura kenny tiri patable hameno
kuti aive aita sei panova ndipo pavakazoti
vaida kutaura nesu tese .

Vasikana vakanzi vatombomira kusuka


kwakubva tanogara tese musitting room .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Right , ndakuunganidzai mose ndichida


kukuzivisai kuti next week Carl
arikuenda kuAmerica kubasa . Muroora
tichasara nemi pano murume wenyu
achinogadzirisawo pekuti kana matevera
mozonowanawo pekugara pari
comfortable nevana . Carl ati achasiya
abhadhara magynacologysts maviri ekuti
agozove achikubatsirai panhumbu zvese
nekukusunungutsai pamwe nateacher
achange achikudzidzisirai pano pamba.
Nhau hombe yandanga ndichida kutaura
ndeyekuti Kenny ndirikuda kuti
uchiroora Shelly. Mwedzi uno unofanira
kupera avepo pano ndichabvisa ini mari
yeroora "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro kwakubva zvanzi naKenny "


handichamudi ini Shelly " tose
takashamisika nekuti aive asina kana
mwedzi mingani auya naye
kuzotiratidza .

" Ko aita sei?" Vakabvunza mama


kwakubva zvanzi " handichangomudi
chete pane wandinoda "

Chokwadi Kenny aive asingarevesi .


Ndakabva ndatopindwa nechando.
Ndakaziva Kuti ndiRuvimbo chete waaiti
anoda . Paive pashata apa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 33.

C H A P T E R 3 4

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sekuru vaChido.

"Ndiani zvino omhanya kunosheedza


gogo Zumba ?" Akabvunza Freddie
kwakubva zvanzi naSolo " ndinoenda ini
don't worry?"aidaro achitosimuka
pachituro. Zvino ini ndaiva
ndangonyarara kuti zii ndoita kunge
ndanamiwa muromo .

Nhau yekuvhurwa kwedura yaindipedza


simba rese . Ndaiedza kutsvaga nzira
dzingandibatsira kuti dura risavhurwe
but ndaishaya . Solo akatopedzisira
adzoka navo gogo zumba ndichingoedza
kufunga zvichiramba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Arikupi Chido wacho ?" Akabvunza


solo kwakubva gogo vake vati " avete
mukitchen umo , newewo Solo unoshaya
zvekuita chokwadi , unofunga kuti zera
raChido anganzi aita mimba
achiiwanepi ?" Vakadaro zvichibva
zvanzi naiye Solo wacho " anogotadza nei
kuita mimba ? Imi chinomboita kuti
munyanye kumurambira chii chaizvo ?"

Akadaro zvichibva zvanzi namai vake "


Chido mwana mudiki Solomon , chero iye
murume wacho anoita zvivindi
zvokupinda pana Chido anenge ane
kakaenzana nekeshiri here nekuti
murume chaiye akwana haangapindi
pamwana akaita saChido"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakapedzisa vachidaro zvichibva zvanzi


naSolo " ndizvo zvamaifanira kufunga
izvozvo musati maendesa Ruvimbo nekuti
Chido naRuvimbo vakaenza. Kana
makendesa Ruvimbo kuti anoita nhumbu
chinotadzisa Chido kuitawo yake chii ?
Ivai nemwoyo wekubereka imi.
Munoziva here kuti murume
arikunorariswa naRuvimbo akatakurei
mubhurugwa make ? Zvino Chido wenyu
iyeye chero akawanikwa asina nhumbu
kumurume arikuenda nekuti murume
wenyu akatomudyira roora kudhara "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro achinopinda muimba


yevakomana yavaive varara naFreddy
mbuya vaChido vachibva vanyarara.
Hameno pamwe vainyadziswa nenhau
yaRuvimbo. Ivo vakomana vacho vaitoita
kunge varikuda kupanisha Chido nekuti
kwakaendeswa Ruvimbo kunoripa ngozi .
Hameno kuti vaive vakambonyanyopiwei
chaizvo namai Ruvimbo .

Ichi chokuMalawi chokupfupika chaive


chakangogara pasi chakateerera
zvaitaurwa . Ndaichinzwira hasha
dzekuda kungosimudza bheura
ndochitema pakati pamusoro chofa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chipenzi chemunhu ichi, ndicho chaive


chakonzeresa zvese izvozvi . Zvino neni
taizosangana . Ini handidi munhu
anondiendera mberi semhuno ini. Taive
tataurina tikawirirana iye munhu
kwakungochinja zvinhu. Zvino aive
adenha mago . Uyu ndiye wandaida kuti
chero achinosangana nevadzimu vake
avaudze kuti makandiregerera . Dai
makandiyambira ndisipo pano .

Mushure menguva pfupi takaona gogo


Zumba vouya vachibva kukitchen
kwainzi ndiko Kuna Chido .Mumwoyo
ndaive ndongonamata kuti vati haana
nhumbu. Chokwadi ndaizonyarirepi
munyika nhai hama dzangu ? . Handina
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kumbobvira ndakarota kuti Chido


aizondinyadzisa kudaro . Vanosvika
vogara pasi ndokubva gogo vaChido
vauya ndokugarawo padivi vachibva vati
" ndapedza kumutarisa musikana "

"Akamira sei ?" Akabvunza Freddy


kwakubva vati " zvedi akazvitakura asi
aramba kutaura muridzi " ndakanzwa
kupererwa hama dzangu . Chido aive
andigura kunorira . Zvakabva
zvachizonyatsondijekera zvino kuti aive
iye wandaive ndanzwa zuva riye . Anenge
aive anzwa kuti ndini ndokubva amhanya
achisvikira pamapoto kuti
ndisambomufungire. Iko hameno
chakanditadzisa kubvunza zuva iro riya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti aive asina kumbobuda here kuti


chii ? . Ugoona ndiye aingova ega
musikana . Kutaura chokwadi ndakaita
kunge ndicharutsa nekuti taidyiswa
tsvina nachido.

Chokwadi munhu anenge abva


kunorarwa kumakwenzi uko ongouya
achizobata mapoto nemaoko ake
akasviba? Kutaura chokwadi ndakanzwa
kusema nekuti Chido kugeza chaiko kana
unenge usina kutofungidza haazvifungi .
Chero ivo varume vacho vanorara naye
vanezvivindi . Munhu asingagezi kudaro
wongonorara naye musango chokwadi
achinhuwa fish idzodzo . Kkk dai vanhu
vaya vokuenda naRue vaizozvinzwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaizosekwa hangu nematauriro


andakaita zuva riye ndichiti pana Chido
ndinoda muchato .

" Maita basa chose gogo, ndofunga


mungachisununguka henyu kuenda
timboita matare emusha" akadaro Solo
achigara pachituro ndokubva gogo
Zumba vasimuka havo vakuenda .
Mbuya vaChido ndivo vaive voungudza
kunge vafirwa. Izvo zvairwadzawo kani
chokwadi , ini murume mukuru
ndakangonyara kuchema wani asi ndaive
ndarwadziwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Hameno mukwasha kuti moita sei ?


Ndofunga mangozvinzwira moga kuti
mudzimai wenyu akazvitakura saka
hameno kuti moita sei ? Akadaro Freddy
ndokubva zvanzi naAchimwene "
ndinomuda akadaro baba , hongu nababa
Fidhe hationani hedu nenhau
yechikwereti changu chenyama
chavakatora makore mashanu apfuura .
Zvino mwana iyeyu ndiye achatoripa
mhosva dzababa vake . Ndinoda kuti
akure achifudza mbudzi nemombe
dzangu then ndozomuendesa kwavo
akura , plus mukadzi musatye henyu
ndinonomuisa runyoka kuitira vamwe
varume vachazoda kuvata naye vakaure"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chakapedzisa chichichidaro kwakubva


chaombera . Ndakaona Freddy
akatsikitsira achiedza kubatwa setswa.
Chimunhu chacho chaisetsa kani.

Chokwadi apa ndipo pandakanyatsoona


hutsinye hwaFreddy naSolo wake .
Chokwadi kuda kuendesa mwana
kumunhu unofunga kunge mwana
saAchimwe ? Haa uyo ndiye
wandaizonotora rakacheka nyika .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Chidoo!" Akasheedzera Solo nevoice


raiva pamusoro . Chido wacho ndofunga
aive agara akatotaimira kusheedzwa
nekuti akabva atobuda. Ugoona shena
yaive nemunhu airara nevarume
vevanhu ? Kuita kunge mbeva yawanziwa
munyu . Akatanga kunanaira achiuya
uku achisvimha misodzi yengwena . Dai
ndaisavewo nedzangu dzaindinetsa dai
ndakamuzvambaradza Chido.

Anosvika ogara pasi ndokubva Solo


aburitsa zvitirobho zviviri muhomwe
yezibachi raaive akapfeka raisvika
kumakumbo . Anobva azvibata mumaoko
ndokuti " handidi kukurova Chido nekuti
ndinogona kukuuraya. Chandinongoda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwauri ndechekuti utiudze muridzi


wenhumbu yawakatakura pasina
kupedzerana nguva "

Chido anobva akwiridzira madzihwa


ndokuti " ndeya Tavengwa"

" Tavengwa ndiani nhai


Chido?"akabvunza Freddy kwakubva
zvanzi " baba Fidhe " kkkk unoseka
nhamo serugare shuwa ,hanzi Tavengwa.
Apo first born yaMupostori yaive
yakaenzana naFreddy or kutova hombe .
Ndiye munhu aisheedzwa naChido nezita
iyeye .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Ko hanty ndakakuudzai , vanga vatove


nenguva vachifambidzsna vanhu ava .
Ndaigara ndichivadimba musango
riripedyo nerukova iro" chakadaro
Achimwene kwakubva zvanzi nagogo
vaChido " asi waive washaya vakomana
here kuguma uzodanana naMupostori
nhai zmChido?" Vakabvunza kwakubva
Chido anyarara . Wainyatsoona
kupererwa hazviso zvevanhu vese nekuti
chero vana Solo vaive vangotiwo zii .

Pave paya Freddy ndiye akazotura


mafemo ndokuti zvino tisingapedzi nguva
wotoenda kumurume uyu Chido , sekuru

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vako vakakuroodza kare vakatodya


pfuma saka murume wako atouya
kuzokutora . Vaifunga kuti varikuitira
mhuri yamai Rue hutsinye sekuru vako
vasingazive kuti varikuzvikanga
nemafuta avo senguruve. Handina hangu
kudzidza but zvaida kuedza kutaurwa
nevarungu pavaiti what goes around
comes around ndakazvinzwisisa ini .
Munhu rega kufarira kudiridzira dzinde
rerugare rwako nemisodzi yevamwe .
Kune vamwe vakangorwadziwa
nekubudirira kwevana vehama dzavo
mumhuri umu kusvika munhu
atonoromba achiti anoda kusundira vana
vaya minyama asi mangwana
zvakazomuka zvapanduka zvouraya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vana . Hauna umwe munhu waunochema


naye Chido kunze kwasekuru vako "

Anobva atendeukira Kuna Achimwene


ndokuti "mukwasha mhuri yako iyi "
akadaro achitosimuka kupinda mumba
Chido achibva aibongomora mhere . Asi
chokwadi Freddy naSolo vaive
nehutsinye . Shuwa kutadza kunzwira
mwana tsitsi aichema kudaro. Aiti
akatarisa Achimwene obva awedzera
kuridza mhere . Ndofunga aitya kushata
chete nekuti chimunhu chacho umm
chaityisa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Simuka tiende , nhumbi


uchanopfekedzana naLucy mwana wangu
ndichitsvaga mari yekukukutengera
dzako " chakadaro chichidhonza Chido
ruoko kuti asimuke iye achiramba . "
Ndichapedzisira ndaita zveshamhu ukada
kundinetsa, simuka ufambe tione"
akadaro ndichibva ndaona kudherera
kwese kwaAchimwene . Ndiudzei kuti
muzukuru wangu aizonorarama chirudzii
kwaaienda ikoku nhaimi ?.

End of chapter 34.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 5

Ruvimbo.

"Ini hangu zvekuti wazodanana nani


kana kuti waita sei handina basa nazvo .
Pamakadanana naShelly taive tisipo saka
chakuita kuti umurambe ndiwe
unochiziva zvakare . Ini ndanga ndangoti
sezvo ari iye wawaive wambounza kuti
tizomuona uchiti ndiye waunoda kuroora
ndibve ndangonokubvisira pfuma wotora.
Chandiri kuitira izvi hechi ? Handidi kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Carl anoshanda ane stress achityira kuti


pamwe Kenny achanditorera mukadzi "

"Ko mukagotaura sekuti Carl


naRuvimbo wacho vakatoroorana seiko
nhai daddy ivo vachingoita chikaranga
chengozi . Kunzi Ruvimbo akatakura
vana vacarl ndizvo zvamungabva matoita
sekuti Carl wacho akatonobvisa pfuma
chokwadi "

Akadimbudzira baba vake vasati vapedza


kutaura Kenny achiratidza kusvotwa
nezvavaive vataura kwakubva baba vake
vati " let this be the last time
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaunondidimbudzira ndichiri kutaura


Kenny . Ukada kundiendera mberi
semhuno ndinokudambura musoro .
Akuudza kuti ndapedza kutaura ndiani?
Sarini wakambotaura ndichitaura iwe ?
Ndinokukanganwa izvozvi ukada
kundiitira dzungu risina basa "

Ndakaona Kenny achikitsira musoro pasi


zviya zvekuratidza kutya chaiko . Iko
maitiro aaive aita aive nekakudherera
mukati chaiko .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanobva vaenderera mberi vachiti " saka


kuti zvinhu zvingofamba negwara uye
pasazoita sekuti parikuitwa favour iwe
Kenny wakutofanira kunorenta
somewhere ugare ikoko till Carl atora
mudzimai wake . Kupindura mubvunzo
wako Kenny , hongu Carl naRuvimbo
vave murume nemukadzi nekuti
vakudana...." vasati vapedza kutaura
Kenny aive okosora kunge munhu
adzipwa . Akakosora zvekutobuda
misodzi chaiyo. Karen aida kusimuka
kunotora mvura kuti amupe but baba
vake vakamumisa neruoko .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akatozomira kukosora pave paya


kwakubva zvanzi nababa vake "
unoonaka zvirikuita kuti nditi ubve
pano ? Ndinozviziva zvakukosoresa
Kenny uye chero kuhope kwako chaiko
hazvife zvakaitika . Kutotanga izvozvi
tsvaga nzvimbo yakanaka yauri kuda
kunogara ndigotobhadhara rent . Pano
uchadzoka kuzogara mai Cassie vaenda
kumurume wavo"

Vanobva vatendeukira kunaCarl ndokuti


" enda kubasa unoshanda . Chinhu
chekutanga kana watambira tsvagira
mukadzi nzvimbo yechikoro womutora .
Ini ndichazonoroora nababa Abby namai
vako . Handikurudzire macouples kugara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kure nakure nekuti zvine miyedzo


mukati . Kungoti chete inzvimbo yauri
kutanga kuenda yausati wajaira,
otherwise ndaitozoti takuranai muende
mese"

Vanobva vatendeukira kuna Karen


ndokuti "tete uyu ave muroora wako ,
wosara wakamuchengeta mukoma
vachienda kubasa hanty?" Karen anobva
agutsurira musoro achinyemwerera
kwakubva andimbundira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Wogadzirira rwendo woenda kubasa


Carl . Rega kusazoita stress ikoko
yekufunga kuti mukadzi agere sei
uchitadza kushanda . Uchingoenda chete
mai Cassy varikubva vatodzokerawo
mubedroom maKaren. Kenny worara
uchitsvaga kwauri kuda kunogara
wozondiudza mangwana ndonobhadhara
rent. You're both my guys and l love you
equally " vakadaro vachisimuka
vachitotanga kufamba vachikwidza
upstairs. Takasara tigere takanyarara
kuti zii pasina kana anokosora . Vaityiwa
zveshuwa daddy vaCarl.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mama ndivo vakatanga kusimuka


vachitevera murume wavo kwakubva
Karen auya akandimbundira zvikanzi "
good night makoti " ndakadaira
ndichisekererawo achibva aoneka
hanzvadzi dzake kwakubva kwangodaira
Carl chete uyu weguhwa kunge mukadzi
achibva angoramba akanyarara
akatsikitsira .

"Hande tinorara babe huya


ndikubereke" akadaro Carl tasara tiri
vatatu mumba. Ndaida kuramba but
nekuda kusvotesa Kenny ndakabva
ndasimuka ndokujambira kumusana
kwaCarl. Kenny akaridza zitsamwa
achisimuka kuenda upstairs . Zvino kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ane zvaaive akatarisira kuita pandiri


daddy vaive vazvivharisa .

I think kutomuti abve pamba vakatoona


kuti pane chirikuitika kwaari, or vaive
vaudzwa nasekuru Hondohwe kuti aive
andipindira . Haiwa ngaaende hake ,
hanty aive apihwa option yekuroora kuti
arambe agere pamusha iye achibva
aramba. Ugoona musikana wacho ainzi
handichamuda ndiye wandaive ndabva
kuratidzwa masikati achinditsvinyira
hake. Zvino hameno iyeye aive adiwa kuti
aive ani anokunda Shelly parunako
nekuti wandaive ndamboratidzwa haaa
aive akanakisa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hameno kuti chakaita kuti daddy


vatirege tichingoita misikanzwa naCarl
chii? . Semunhu mukuru pamwe vane
zvavaizviitira havo. Takaberekana
naCarl tichienda kunorara. Chero ndiro
chaidzo taive tangosiya dziri musink
dzisina kusukwa. Ko hanty daddy vaive
vatisheedza takuda kusuka here ?
Ndakangoti ndaizomukira zvangu vanhu
vachiri vakarara ndonocleaner.

"Unoziva mwoyo wangu


urikundirambira kuenda babe?
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndirikungonzwa sekuti pane zvakashata


zvinogona kusara zvikaitika kwauri"
akadaro Carl achivhura door
remubedroom make tichibva tapinda.
Hameno pamwe ndimo maaida kuti tirare
zuva iri.

" Don't worry yourself hapana


chakamboshata chinosara chichiitika
kwandiri . Handibudi pano payard
kusvika ndasununguka , hanty daddy vati
vanhu vanenge vachinditarisa nhumbu
vanouya pano?" Ndakabvunza achibva "
yes babe l think kungorwadziwawo
semunhu achangopindawo murudo. I
know kuti newe urikurwadziwawo but
urikungozvishingisa hako ".
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chaive chokwadi hacho but zvekuita


paive pasina . Baba Carl vaida kuti
mwana wavo aende kubasa saka
kutozomuregesa ndinenge ndatotsvaga
kuzvivengesa chaiko. Iwo waive mukana
wakanaka zvawo nekuti chero mari
yaainzi ari kunopiwa pamwedzi yanga
yakawandisa zvekuti kunopera kwegore
anogona kutotenga purazi sezvo paive ipo
pane shungu dzake . Hameno kuti aida
kuzoitei naro purazi racho?.

"Unomboziva here baby kuti une


twuvana tunenge tuchindibata nemaoko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

panguva dzatinenge tichitamba?"


Akadaro achipinza ruoko mukati metop
yangu achibata mukaka kwakubva
ndanzwa mukati mebhurugwa mangu
muchivhita vhita kwakubva
ndabatanidza makumbo . Zvinhu izvi
zvaiitika kana ndinenge ndabatwa naCarl
or paanongopinda mumba . Paitoita
kunge paive nebluetooth yaindiconnector
kwaari kana anenge angopinda chete.

"Hmm" ndakadaro ndakutadza kutaura


nekuti zvandaive ndozwa zvacho zvaive
zvisingaite. Ndainyatsonzwa kuti chipfeko
changu chemukati chatota. Hameno kuti
iwiwi yaibuda zvishoma nezvishoma here
nekuti iyo kubuda kwayo ndaisakunzwa
ndaingonzwa kutota chete .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvetuoko aive ambozvitaura masikati


pataive tambotamba . Anobva abvisa top
iya kwakubva aisa muromo pamukaka.
Ummm apo ndipo pandakachizoita kunge
ndichapera mweya nekuti zvandaive
ndakunzwa zvacho zvaisatsanangurika .
Chero kushoshwa kwandainzwa
pakumbotamba kwataive tamboita
panguva idzi kwakapera . Ndainzwa
kunge ndabatwa nechiveve here
kwakavanzika kwangu uku or chii
chaiitika? But whatever zvaiitika ikoko
was good nekuti ndainzwa senge ndakuda
kuridza mhere .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakarariswa pamubhedha kwakubva


achitanga kuita zvaakajaira hake Carl .
Ndaitoshaya kuti sei Kenny aimutuka
achiti aive asina kumbobvira aita
musikana nekuti munhu aiziva zvinhu
zvake iyeye . Ndaiedza kuvhara muromo
kuti ndisaite noise sezvo taive pedyo
neroom yaKenny but paakazoisa muromo
kwakavanzika kwacho zvakandikurira ini
ndichibva ndatanga shinyira kunge chiva
chatsikwa muswe .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakashandwa neni zvekuti


kuzongopinda yaive yangove mbasera
zvayo but ndaive ndaibva kare . Chero
pakupindwa zuva iri handina
kumbonzwa pain yandaisimbonzwa kana
achitanga kupinda . Apa ndaive
ndakatota chaiko nekuti ndaive
ndashandwa kwete zvishoma .

Apa ndipo pazvakachizotikurira manje


takuita noise tese .Chero kuti Kenny aive
munext room hatina kumboita basa
nazvo nekuti zvatainzwa tisu tega
taizviziva.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Heyi ! , iwe Carl !, Carlton !" Takanzwa


kusheedzera door richirohwa zvehasha
kwakubva Carl ambomira kudaira
achifemereka sezvo aive achangopedza .
After a minute akufema zvirinani ndipo
paakazoti " chiiko Kenny ? Hanzii kubva
warova door kunge richadonha kudaro?"

"Ndinogotadza kurova door sei imi


muchindiitira noise? Sei muchifarisa imi?
Chashamisira pakuita bonde kwenyu
chii ? Mukwane mazvinzwa ?,
chamabvira kuguest bedroom chii
muchizotishaisa hope kuno ?Akapaumba
Kenny aripadoor Carl achibva aramba

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akanyarara . Ndofunga akaona kuti tisu


taive wrong nekuti chero kubedroom
kwana mama takanzwa kwakurira radio.
Hameno pamwe vaivharidzira kuti
vasanzwe noise. Nhaimi ndaizotarisana
navo chirudzii mangwana nezvinhu
zvinonyadza kudaro zvataive taita?.

"Ndazvinzwa Kenny sorry chirega kuita


noise uende unorara " akadaro Carl
achirara paside pangu . Kenny
akadzokera kuroom Kwake
achingonguruma . Anenge aive
abhowekana zvekurevesa chaizvo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takasara takanyararidzana pasina


anotaura neumwe . Carl ndiye akazobva
atarisa kwandiri achibva andiisa
mumaoko ake achibva anditsvoda
pamhanza .

"Pamwe ana daddy vatinzwa, ini


ndakutonyara kuzotarisana navo ini "
ndakadaro kwakubva ati" don't worry
hapana chavanzwa . Hanty urikunzwa
radio ichirira , inongorara ichidai
mazuva ese"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaive ndisingazive nekuti guest


bedroom raive kure meamwe.
Ndakatofema chaiko nekuti ndaitonzwa
kuzvinyarira . "Let's sleep " akadaro
achinditsvoda zvakare pamhanza
kwakubva tarara. Ndaive ndakazviudza
kuti ndaizomuka nekukasika
ndichinosuka but ndakatozopepuka zuva
rakupinda mumba. Ndofunga kwaive
kuneta nekuti Carl wacho airova damba
refu zvekuti muchipedza unenge
uchinyatsonzwa nyama kurukutika
chaiko nekuneta. Carl padivi pangu aive
asisipo. Anenge aive atomuka kare.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazovhundutswa nevoice
randakanzwa richitaura mupassage.
Chero zvadii iri raive voice raRunako
chete but chaive chakundinetsa
ndechekuti anenge asvika kuHarare?
achidei uye sei ? .

End of chapter 35.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 6

Narration.

"Newewo une chifuva Solo, chawaive


wakuvaudzira zvekuromba kwavo chii?
Hauoni kuti wakavangwadza here ?
Waifanira kurega tiite zvataive tanzi
namadzibaba tiite than zvawakaita izvo.
Remember kuti hanzi nyoka yacho iri
violent unonofiramo mudura umo ukada
kupindamo zvedzungu "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva atura mafemo Freddy akatarisa


mudenga kwakubva ati " l can't believe
kuti Tiri akatofa chokwadi ndaedza
ndichaedzazve kumunyengerera kuti
tinoshandirwa kwamadzibaba iye
achiramba . Hameno kuti aifunga kuti
ndainyepa here? Dai akangoteerera
izvozvi ari mupenyu nyoka yakadya
muridzi wayo sekutaura kwamadzibaba ,
iyo nhombo yacho yekunokanda mudura
uchinayo here?"

Akabvunza kwakubva Solo ati "


handichazivi kuti ndakaiisa pai ? Nguva
dzandambopinda muno paya ndanga
ndichitotsvaga iyo zvino ndaishaya .
Zvino izvozvo hazvinditadzise kupinda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mudura . Kana ichindiuraya


ngaindiuraye Freddy . Hatingapedzwika
nemunhu tichifira zvatisingazivi . Izvozvi
zvaitika pana Chido izvi. Hongu
akatadza hake pakumitiswa naMupostori
but kumurega achienda kumhondi iya
hazvisi fair. Mwana haana chaakatadza.
Akadya magaka anovava ndiye ngaanzwe
ugugu. Handingaregi mwana wemukoma
wangu achiendeswa kumhondi iya
ndakatarisa ini . Chido haana mhosva
yaakapara "

Akadaro Solo kwakubva Freddy ati"


saka wanga wafunga kuti tiite sei ? Ipapo
une point chaiyo , dai tanga
tirikutomuendesa kwaMupostori
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvirinani nekuti ndiko kuna baba


vemwana wake, zvino kuna Achimwene
here vakomana "

Akapedzisa achidaro Freddy kwakubva


Solo ati" ngatidai, ini ndakutotevera
izvozvi kwavaenda nako. Ndoziva kuti
hapana kwavati vambosvika .
Ndichanohwanda muchisango ndopfura
Achimwene nendandi idzi (rekeni)then
otiza ndosara ndichitora Chido. Iwe tora
mari tigonosanga kunzira tichimupa.
Arikufanira kuenda kumusha kwamai
vake anogara ikoko nekuti as long
achingova pano chete Achimwene
anotomuvinga . Anofanira
kuzopedzerana nemuridzi wenyaya .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Baba ndivo vakadya zvinhu zvake kwete


Chido. Chero ivo baba Chido chaivo
kwavari ikoko havangatiregereri nenhau
iyoyi"

Akapedzisa achidaro Solo achitobuda.


Haana kuda kubuda nedivi raive kunana
baba vake . Anobva apota neseri kwemba
kwakubva amhanya rekeni dzake dziri
mumaoko. Akamhanya kachinhambwe
apo paakabva atanga kunzwa Chido
achiridza . Mhere iyi akanyatsonzwa kuti
yaive yokurohwa chaiyo . Solo akaita
hasha dzisina kutuvidzwa ndokubva
atanga kumhanya nemumakwenzi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achiitira kuti vasamuone . Ainyatsotsvaga


nzvimbo chaiyo yakanaka yekuti
akanyatsorova chaiko nendandi
Achimwene aizonzwa parere mwoyo.

Chido airohwa nezishamhu


achimanikidzwa kufamba. Solo
akanyatsoswedera nechekure
achinyatsoita make sure kuti hapana ari
kumuona . Akaziva kuti kana Achimwene
aizoziva kuti ndiye aizomuroya . Ko
Achimwene aizikanwaka nenhau
dzemimubobobo uye kukanda zvitsinga .
Izvo aive isingaite zvekuvanza aingotaura
pachena . Zvino hameno kuti sei aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

atadza mupostori aive amunetsa kudaro?


Hameno maybe paive pakatsikwa
naMupostori wachona paivewo pakuru.

Anobva ati asvika paive pakanangana


nepaive naAchimwene uyo aidaro
kukwatura Chido neshamhu.
Akarwadziwa Solo achizvibvunza kuti dai
anga arega kuteera kuzonunura mwana
wemukoma wake aizonorarama amwe
mazuva maviri here ari mupenyu
nekurohwa kwakadai ? Pfungwa dzake
dzakamudzosera shure kuna Ruvimbo
kuti aive akagarawo zvakanaka here
kwaaive aendeswa ikoko?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadzungudza musoro chokwadi aona


kuoma mwoyo kwababa vake. Apa ndipo
paakanyatsoona kuti munhu waMwari
aive asina kunyepa paakavaudza kuti
pakabatwa nababa venyu pakuru .

Anobva avhara ziso rimwechete


akatatamura ndandi dzake achida kuti
asapotse uyezve asarove panouraya .
Akangotamira chido apota seri
kweAchimwene achinzvenga shamhu
kwakubva angozamurira dombo
nechemuno mumbabvu umu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Yoweee!" chakadaro Achimwene


chichiridza mhere pamwe nekumuka pasi
pachaive chadonhera. Solo anobva
afuridza rimwe rakanopfuura nepadivi
pake richitinhira kunge chikopokopo
ndokubva achimwene atoona kuti paive
pashata achibva angomuka uri museve
achitiza akabata pambabvu paive parova
dombo achiridza mhere. Chido ndiye
akambosara amire ari confused achishaya
kuti chii chaiitika apo paakazonzwa
osheedzwa nenzwi raive pasi .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva atarisa nechemuchisango maibva


voice apo paakabva aona vari
babamunini vake Solo . Anobva atanga
atarisa kwaimhanya Achimwene
achienda kwakubva aona kuti aive ave
chinhambwe achibva angomhanya
achipinda mumakwenzi maive naSolo.

"Wakutopinda mubhazi izvozvi uende


kumusha kwamai vako Chido. Hameno
kuti uchapinda sei mubhazi neshena
inenge yechigure yaunayo. Ini pangu
ndapedza, ukangodzokera kumba chete
urikunodzoserwa kwaAchimwene .
Chokwadi munhu wemukadzi anorara
asina kugeza Chido ? Kutaura chokwadi
unonyadzisa "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro Solo vachipinda muroad


yaifamba nemabhazi apo pavakabva
vaona Freddy agara padivi penzira.

Freddy anotambidza Chido mari


kwakubva agamuchira ndokutsikitsira
pasi asi achiratidza kuti pane zvaaida
kutaura Freddy achibva azviona
kwakubva ati "chii nhai Chido ?asi
hauna kufara here nekununurwa
kwawaitwa? "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akabvunza Chido achibva ati " ndafara


but handisi kuda kuenda kwana sekuru
ndinoda kuenda kwaTavengwa " Freddy
naSolo vakatarisana zviya zvekupererwa
chaiko .

"Nhai Chido, urikuda kuenda


kwaMupostori kunoita mukadzi
wechiseven wakakwana here Chido iwe
munjere dzako? Plus unofunga kuti
unganowanikwe muraini rimwechete
naAchimwene zvigofamba zvakanaka
here? Sei usingafungi iwe? , Zvino kana
usiri kuda zvekwasekuru vako
ndakutokudzosera kwaachimwene ,
wosarudza kuti iwe unoda zvipi?"
Akadaro Freddy ashatirwa zvikuru.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chido aona kuti zvekwaMupostori zvaive


zvaramba anobva azongosarudza kuenda
kwana sekuru vake but akazviudza kuti
kana anenge asvika ikoko aizomufonera
nekuti nhamba dzake aidziziva nemusoro.

Vari ipapo vakabva vatoona mota


vachibva vatomisa. Vaida kuti
inomuburutsira kugrowth point but
vakatozoita lucky rekuti vakawana
munhu uya achiti aienda
kwaNembudziya kunova ndiko kwaive
kumusha kwana mai Chido chaiko.
Vakomana vakatozobva munzira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vodzokera kumba vanyatsova sure kuti


mota yaive yaenda .

Vachisvika kumba vanobva vawana pana


mai vavo chete baba vachinzi vaive
vabuda vachiti varikumbonotema
matanda .

"Takutofanira kugwejenura dura iri


Freddy "akadaro Solo kwakubva Freddy
adzungudza musoro ndokuti " are you
sure you want to do this ?"aimutyira
munin'ina wake nekuti zvaive zvataurwa
nemunhu waMwari aive azvinzwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mayererano nezvinhu zvaive mudura


umu .

"Am more than sure Freddy. Zvirinani


ndife but zvinenge zvafumuka. Ndoziva
kuti iwe ukaona ndafa unobva wazivawo
kuti zvaitaurwa namadzibaba ichokwadi
wobva watsvaga anozozvibata. Zvinhu
izvi zvirikukonzeresa muupenyu hwedu
izvi Freddy. Zvino ini nhasi ndazvipira
kuti ndife ndichinunura iwe "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro Solo achitora side cutter yaaida


kudamburisa wire dzaive dzakapoteredza
padanda panova ndipo paive nekey.
Zvino havana kuziva kuti mai vavo vaive
vakateerera zvose vachibva vatofambisa
kupinda mumba vachibva vafonera
murume wavo vachimuudza kuti vana
vovhura dura .

"Wati chii ?" Vakabvunza sekuru


vaChido nezwi raive rizere kuvhunduka
kukuru. "Solo arikutodambura wire
izvozvi mhanyai ?" Vakadaro mbuya
vaChido kwakubva sekuru vaChido
vatotendeuka ndokutanga kumhanya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachidzoka . Pavakasvika vakapera


simba kuwana dura rakashama Solo
achitopinda.

"Maiwee zvangu Solo wandiuraya"


vakadaro vachidonhera pasi vachiridza
mhere asi izvozvo hazvina kudzosa Solo
kumashure .

End of chapter 36

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 7

Carlton.

Driver aive aenda kunotora ana mama


vaRue akafamba nekuti exactly na4am
vaisvika pamba. Kana ari wangu
Ruvimbo hapana kana chaakambonzwa .
Aive akazvifira zvake nehope ndofunga
kwaive kuneta nekuti pandakauya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichizomutswa namama vachiti ambuya


vauya haana kana kumbozvinzwa .

Aive mambakwedza but ndakatomuka


ndikageza ndokutichinja nhumbi
ndichipfekawo dzinoita kuti mukwasha
anosvikawo mberi kwambuyawasha
akapfeka . Ndakabva ndabuda
ndakudzika downstairs uko
kwandakanowana vakagara havo
nevaramu vangu .

Ndakawana daddy vakagara navo


musitting room mama vachiratidza kuti
vaive mukitchen . Ndakasvika
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuchinjomara ndichibva ndaombera


ndichimhoresa mama. Ndakaona daddy
vachinyemwerera ndichibva ndaziva kuti
ndaive ndagona. Mama vakadaira zvine
hunhu vachiombera kwakubva
ndangosara pasofa revanhu vatatu .

Varamu vangu vakauya vakapfugama


vachindimhoresa hanzi " makadii zvenyu
bamkuru " haaa team ndakanzwa
manyukunyuku. Ini shuwa Carlton
munhu aitya vasikana ndini ndanga
ndakunzi bamkuru nhasi ?.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaira varamu vangu nemufaro


kwakubva ndavabata maoko kuti
vazogara paside neni . Kamainini kadiki
ndiko kainyanya kufanana naRue chero
nezvikomba zvaive mumatama .

"Mamukasei baba vangu " vakadaro


daddy ndichibva ndaputirwa nenyadzi .
Nhaimi zvandaive ndakanganwa
kumhoresa daddy . Ndakazivarairwazve
nevaramu nhaimi kwakukanganwa
kumhoresa nyakubereka .

" Mamukasei daddy, sorry shuwa


kutovarairwa hangu " ndakadaro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachibva vadaira vachiseka hanzi " don't


worry son zvinowanikwa takabva neko "
ndakaseka ndichinyara zvichibva zvanzi
nekamuramu kangu kadiki " nhai
bamkuru ko sei muchitaura
zvinonyadzisira?"

"Ndezvipi zvinonyadzisira nhai


amainini ?" Ndakabvunza ndatopererwa
coz vairatidza kuva serious zvichibva
zvanzi " kuti daddy"

Ndakatarisa Kuna daddy ndichiedza


kubata setswa kwakuona navo vachiseka
vakatsikitsira ndichibva ndati "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kunyadzisira here kuti daddy nhai


amainini ?"

"Eheee asi hamuzvizivi ? Kunonzi baba ,


daddy chinhu chedhongi " vakadaro
zvichibva zvanzi namama mai Rue "
Runako !!" Vakamusheedza zvaive
neukasha mukati . Ini zvino
ndakachizodudza setswa dziya .

"Ko ndaita sei nhai mama hanty ndozita


racho here ? Iwe sisi Bertha hauzvizive
here iwe ? , iro Chari rekwagogo
vaTanaka raida kunogadha stimbok

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rekwanaTino richibva rakaviwa bhutsu


valembe naChari "

Vakadaro mainini vangu ndikaona


kupererwa pachiso chamama namainini
Bertha . Kana vari daddy vaive vakuita
kuchema misodzi nekuseka. Zvino ini
kuti ndiseke ndaive ndotonyarawo
kudarikira muna mbuyawasha .

"Chimbodzikamawozve nhai Runako "


vakadaro mainini kwakubva
vambodzikamawo zveshuwa
takutatotaura dzimwe nyaya kusvika
pakazonzi " saka kumusoro uko kunei
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nhai bamkuru ?" Kwairehwa upstairs


nekuti ndiko kwaive kwakanongedza
chigumwe chavo .

" Kune marooms ekurara amainini "


ndakapindura kwakubva zvanzi "
ndinoda kunomaona ini " vaidaro
vachitosimuka zvichibva zvanzi namama
" Runako ndakuzokurova "

"Aiwa varegei mama vanoona hazvina


mhosva, plus amainini vachiri vadiki
hamufaniri kunyanya kuzvinetsa navo .
Nekufamba kwenguva kana vajaira
muchatoona vasisazviite" ndakadaro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichitorevesa . Mainini vangu vaive


vatove pamastairs vaçhikwidza kuenda
kumusoro . Vasvika vanobva
vadongorera zvikanzi " sisi Bertha
ndakakutarisai nhongonya " mainini
Bertha vakaramba vakanyarara kusvika
vatongoonawo vega kuti hazvisi
kushanda .

Takazoona tisisavaoni,hameno kuda


vaive vave kuvhura madoor
ekumabedrooms vachiona nekuti
taivanzwa vachitaura. Shasha inenge
yaive isina kuziva kuti ndipo paive
naRuvimbo otherwise dai akatobvunzwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pave paye ndipo patakazoona shasha


ichiuya ichimhanya . Vanosvika vobata
muchiuno zvichibva zvanzi " ummm,
nhasi ndazoona mubhedha wakanaka
veduwe une magumbeze akanaka kwete
akaita seedu aya mama akarukwa
neshind....aaah sisi Rurue" vakadaro
vasati vapedza kutaura zvemagumbeze .
Vaive vasaona sisi vavo vachiuya
kwakubva amhanya vachinosangana
navo . Aive ageza Rue wangu apfeka
katrack bottom kebrown nekatop kacho
keblack mutsoka akapfeka mamorning
slippers. Aive akachena kani short hair
yacho yakakamiwa zvakanaka . Akafara
kani achinombundira mai vake namainini
Bertha.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Manga mandifungaka ? " akadaro kuna


mama vake achinyemwerera . Nguva yese
iyi kamainini kangu kaive kakamutarisa .
Ndofunga shasha yaishaya pekutangira
nekuti kwakabva kwazonzi " ko sisi Rue
munopfeka mutodo pane vakomana ?"
Kkkkk yowe zvangu , mutodo wairehwa
itrack bottom.

Rue Akaseka hanzi "hazvina basa


Runako, kumusha chete ndiko
kwazvinonyadzisa" vakabva vagutsurira
musoro zvikanzi " saka ini
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muchazonditengerawo wangu ? " Rue


akabva anditarisa ndokubva
ndagutsurira musoro kuti abvume.

Iko zveshuwa vaida kutotsvagirwa


zvekupfeka Vose namama nekuti
kuchitonhora kudaro vaive vakapfeka
maslippers , mainini vadiki ndivo vaive
vakapfeka zvigubhu giya zvibhutsu zviya
zvemumachina kana zvinotengeswa
pamusika zveplastic izvi pane zvimwe
zvakavhurika kozoita zvimwe
zvakavharika. Sezvo ndaive ndatengerwa
ticket ikoko kubasa kwandaienda mari
yandaifanira kutengesa ticket ndiyo
yandaitozovatengera mbatya pamwe
nekuvasiirawo kuti vawane kutangawo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kamusika. Zvechikoro daddy vaive vati


ndivo vachavabatsira .

Tete akapindawo akafara chose kunzwa


kuti hama dzaRue. Uyu zvake aive
munhu akasununguka. Vakabva
vasumuka nemuroora wake vopinda
mukitchen. Breakfast yakauya tikadya
zvedu murunyararo . Kenny ogawa ndiye
aive asipo . Akatozopinda tatopedza
kudya apo angoti " morning " achitobuda
panze .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Nhai Kenny !" Vakasheedzera daddy


kwakubva adaira achidzoka mumba .
Anosvika ogara pasofa randadive
kwakubva daddy vati " vaenzi vauri
kungopfuura usina kumhoresa unoreva
kuti hauna kuvaona here ava ? .

Vakabvunza daddy achibva asimudza


musoro wake kutarisa mai Rue
kwakubva ati " hie"

" Urikuti hie kunani nhai Kenny ? ,


hunhu rudzii rwauri kuda kundiitira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mberi kwevayenzi uhu ? " ndaiona kuti


vaiedza nepose pavanogona napo kuve
calm daddy but vaive vadumbirwa
nehasha .

"Uzondiona kustudy kwangu masikati "


vakadaro ndichibva ndamunzirwa tsitsi .
Ukaona washeedzerwa kustudy ziva kuti
wapinda pakamanikana . Aizorohwa
akanaka chete . Iko munhu angamhoresa
munhu mukuru achiti hie
zvakamboitikepi izvozvo ? I think akaziva
chete kuti ndimama vaRue nekuti vaive
vakafanana . Ivo chero kuti vanopindura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuti chii vamhoreswa seizvozvo


vakatoshaya vachibva vangonyararawo.

End of chapter 37.

C H A P T E R 3 8

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sekuru vaChido.

Ndakasara mwoyo wangu uchidzimba


muzukuru wangu Chido abva
achikwekweredzwa kunge chinhu chisina
basa naAchimwene. Chido ndaimuda
nemwoyo wangu wese zvinova ndizvo
zvakakonzera kuti ndirambe naye
paaidiwa nehama dzamai vake .

Ndaida kuti kana aizoroorwa


ndovanyima mari ndichiti ndakamurera
ndega zvino Chido wacho akabva
andigadzika mudhishi ndokunomitisiwa
naMupostori asina kana nekatsi zvayo
pamba pake. Apa ndipo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pandakazobvuma zvautaurwa nevanhu


kuti Mupostori ane mushonga wekudiwa
nevakadzi nekuti iye pachake aive
murombo anonhuwa .

Kuti pamba pake padyiwe chaiko hunge


vakadzi vatoenda kumaricho . Vaishanda
zvairwadza veduwe vakadzi vaMupostori
dziri nzira dzekuda kuedza kufadza
murume. Waiti ukasvikako waiwana
vakagara pamumvuri vachidya sadza
nemufushwa iye mupostori ndiro
dzinenge dzichiti mazai, matemba ,
machuncks , nenyama dzakamukomba.
Vaitoita makwikwi chaiwo ekutsvagira
murume anogona kuroora nekuberekesa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vana chete zvinonaka. Mupostori ndiro


zimunhu rinonzi riri useless.

Kumunda chaiko haaendi kunoenda


vakadzi nevana chete . Chake kumuka
odya chikafu chaasingazive kuti
chakabvepi obva atopinda munzira
kunotsvaga vamwe vakadzi . Mupostori
inotori simbe yemakoko . Ini kunongova
kushaikwa kwezvekurimisa zvangu but
pandinenge ndarimirwa nevanhu
venhimbe ipapo ndinosakura ini. Chero
mbuya vaChido vanotoziva kuti
ndinoenda kumunda. Zvino ndipo
paunoona Chido achinoda munhu ane
mashura akadaro saMupostori
chokwadi . Idi regai zvichinzi rudo ibofu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hupenyu hwairaramiwa nevakadzi


vaMupostori Chido ainyatsohuziva iye
ndipo poopfimbwa achibvuma nekutoita
nenhumbu zvese .

Zvandaida kuita zvaive zvakawanda zuva


iri. Ndaida kunotema Chiwara nebheura
after that ndobva ndononunura
muzukuru wangu mumaoko emhondi
Achimwene. Icho ndaida kunochipisira
mumba chete. Muzukuru wangu
ndaizotsvaga manunuriro andaizomuita
pamoto wandaive ndadai kuronga.
Ndichibva ikoko ndaida kuzouya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndonosungirira mai Rue. Vanhu vandaive


ndisingadi kuti vandione ndichibuda
ndiFreddy naSolo wake. Aya aive
mapenzika zvekuti zvaizoti zvotaurwa
kuti chiwara akawanikwa akatemwa
akatemwa nedemo zvaizonzi ndibaba
nekuti vakambobuda vakaritakura . Plus
chimwe chandainyanya kutiza yaive nhau
yekuvhuriswa dura . Chandakangoita
kwaive kutakura makeys edura chete.

Pandakangonzwa muimba yavo yekurara


maita runyarararo ndakabva ndaziva
kuti vaive varara ndichibva ndatobuda .
Dura vaisazovhura kana pasina key .
Chandaingoda kuita kudzoka vanhu vose
varara chete ndobva ndamukira kubuda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakare makuseni vachiri vakarara


kusvika vadzokera. Dura ngavarote havo
vachapepuka kuhope idzodzo .

Ndaifamba nzira yese ndichironga


nekurongonora . Kubva zvandaendesa
Ruvimbo kunoripa ngozi zvinhu zvangu
hazvina kuzombobvira zvafamba
negwara . Mishonga yangu chaiyo yaive
yakutoita sekuti yakupanduka . Girazi
chairo chero ndikada kutarisa
harichabuditsi chinhu . Zvese izvi
zvakangotanga mushure mekunge
Ruvimbo aenda .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chero zvose izvozvi zvekuti vakomana


vati vanoda kuvhura dura zvaitotanga .
Mutemo wekusavhurwa kwedura
ndakanguva ndaugadza uye hapana aive
ambopikisana nazvo kuti zvaitirwei ?
Kutaura chokwadi ndaive ndakuona
zvinhu neumwe muonero .
Chandakangozviudza ndechekuti
ndaifanira kuenda kuBinga nguva
ichiripo zvinhu zvisati zvanyanya
kuminama. Mhedzisiro ndaitozorumwa
naKazongo chete kana kutozondiuraya .

Ndiri mubishi kufunga nhamo dzangu


ndipo pandakanzwa foni yangu ichirira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuona vari mbuya vaChido.


Ndakaziva kuti paive nenyaya iri serious
nekuti mbuya vaChido vanga vasiri
munhu anongondifonera kana ndabuda .
Chero ini ndaisatozvidawo
zvekungofonerwa kana ndabuda .
Ndakabva ndatokasika kudaira.

" Dura rakuvhurwa nevakomana sekuru


vaChido , ndanzwa vachitaurirana kuti
mune hurombwa hurimo hwatiri kuda
kufumura" vakapedzisa vachidaro
ndichibva ndanzwa makumbo angu
kupera simba . Mungashore zvenyu
mbuya vaChido kuti vataurirei but uyo
waitove mutemo wandakavapa kuti
pakangowana anopinda mudura ivo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

varipo pamba mhosva yaicho


vaisazoigona , zvino vaitoita make sure
kuti hakuna anosvika kudura.

Ndakabva ndatotendeuka ndiri


chamupupuri . Ndakamhanya zvisina
kana ani akamboona ndichidzokera
kumba. "Saka zvinoreva kuti vakomana
ava vakafamba vakaudzwa kuti
ndakarombaka?" Ndakazvibvunza
mubvunzo uyu ndichifemereka kwete
zvishoma . Plus bheura randaive
ndakatakura raindiremera zvekurevesa .
Ndakambofunga kuti ndisiye ndarikanda
mugwenzi ndozoritora but ndakatya kuti
vapfana vaigona kuzongoriona
vakaritora . Ndakafifinyara naro demo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rangu riripamafudzi. Ndave kunosvika


kumba ndakabva ndafona kuna mbuya
vaChido " vatovhura here ?"
Ndakabvunza vachibva vati " havasati
Solo ndiye arikudimbura waya nepinjisi "

"Ndatosvika ndiri pamushavhi "


ndakapindura ndichitodimbura nhare.
Chokwadi munhu akafumura zvinhu
zvangu kuna Solo anoda kundijairira .
Vana ava zvose namai vavo ndaive
ndakaisa pfungwa dzavo mubhodhoro
kuti vasamboone chakashata
pakusavhurwa kwedura . Uye
zvaishandawo zveshuwa nekuti hapana
aimboita basa nazvo . Pandakanzwa
zvichitaurwa naSolo zuva riye rataviga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tiri ndakangofunga kuti idoro. Kutaura


chokwadi nhau yekuti vakafamba ndaive
ndisina kumboiisa mupfungwa . Chero
pavaive vazvitaura panguva Achimwene
achitora Chido ndakangofunga kuti
kwaingovewo kutaura but apa
ndakatozoona kukora kwenyaya yacho.

Ndiri mukumhanya kudaro


ndakazongokaruka nyoka iya yezuva riya
yamira munzira yakasimudza musoro
yakanditarisa . "Nxaaa siyana neni mhani
iwe ndine zvakawanda zvakandimirira "
ndakadaro ndichida kufamba nepadivi
ichibva yati unonyepa . Yakabva yatanga

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kumhanya ichiuya kwandaive ndichida


kufamba nako kuye .

Ummm iyi yaisava nyoka iri yega iyi .


Ndakatomboedza kuita sei but nyoka
yaive yatomuka chipembere chadya
mukonde . Ndakamira zvino ndabata
muchiuno ndapererwa . Chainyanya
kundinetsa ndechekuwana dura
ratovhurwa nekuti ndaive ndatova
nenguva chaiyo ndakangomira
panzvimbo imwe kusingapfuuriki nekuda
kwendara iya.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Yakazoti yoda ndipo payakabva yapinda


mumasora ndokuenda. Ndakabva
ndasimudzira nerwendo rwangu but it
was too late nekuti ndakasvika Solo
achitopinda mudura. Ndakatomboedza
kusheedzera kuti wandiuraya but hazvina
kushanda nekuti akabva atopinda. Mhiko
yanga yaputswa hama dzangu . Iko
kutongovhurwa kwedura nemunhu asiri
ini yaitova mhosva huru. Zvino hameno
kana aisazonourawa naKazongo imomo .

"Handichaoni Freddy , ndadongorera


muhari ndichida kuona kuti munei
mushure mekunge yaramba kusimudzika

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichibva ndasvipirwa kumeso. Pinda


unditore Freddy ndave bofu " akadaro
achitsvangadzira madziro edura kuti
abude.

Freddy akacheuka ndokunditarisa . Asina


zvaataura anobva apinda ndokubatsira
munin'ina wake kubuda mudura .
Anofunga kuti kazongo ndipo
paaizongomurega achimufumura just like
that here ? Anopenga Solo. Zvino ini
ndaive ndongochema ndigere pasi . Iii
kufumurwa bodo ndaive ndisati ndada .
Nhaimi ini ndaive ndichangobva
kuvengesa mai Ruvimbo nevanhu ndichiti
ndivo vadya Tiri . Chokwadi nyika yaizoti
chii nhaimi? .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatoona kuti ndaipedza nguva


ndichingochema zvisina basa ndichitadza
kuita plan. Munhu aifanira kuziva
zvekuita zvazvaive zvadai vaive sekuru
Chiwara chete. Zvese zvekuda
kuvauraya ndakatombozvikandira pasi
kwakubva ndatosimuka ndomhanyako .
Ndaida kunonzwa kuti chii chichaitika
sezvo mhiko yafumurwa . Zvemeso aSolo
ndanga ndisina basa nazvo . Hanty ndiye
anoda kuona zvisina zera naye . Zvino
zvaive zvamuwana . Aizogara ari bofu
kudaro kwehupenyu hwese.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakamhanya hama dzangu. Ko


ndaigozotadza seiko kumhanya izvo
zvinhu zvacho zvaive zvandimirira
kushata kudaro ? Nguva pfupi ndaive
ndasvika kuraini kwavo but ndakatanga
kutambirwa nechiutsi kuratidza kuti
kune imba yaitsva . Ndakamhanya
ndichiendako kwakuona kuti yaive imba
yasekuru yemakona yaitsva .
Ndakavhunduka nekuti zvose zveun'anga
hwavo ndimo mazvaigara . Ndakawana
vanhu vakamira kunze kweyard pasina
arikubatsira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Pindaika veduwe mudzime moto "


ndakadaro ndichipinda payard. Umwe
anobva ati " musapinde ipapo
munokuvadzwa , vakuita semunhu
anopenga" hana yangu yakarova asi
ndakati ndinoda kunozvionera ndega .
Ndakabva ndapinda apo sekuru
vakangoti vachindiona kwakubva
vatonhonga demo ndokutanga
kundivinga .

"Ndakakuti chii nenhau yekurega vanhu


vachiona mishonga yangu ? Urikuona
zvawakonzera ? , ndati urikuona
zvawakonzera here ?" Vaidaro vachiuya
kwandiri vakabata demo. Zvino ini
ndaive ndongocheuka cheuka ndichida
kuona kuti hapana ainzwa here
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaitaurwa nasekuru ndikazofamba


ndonyeiwa zvangu ?.

Ndisina kutarisira sekuru vakabva


vatanga kumhanya vachindidzinganisa.
Nevamwe vaivepo vakaukera
vakatomhanyawo vachitiza.
Ndakamhanya hama dzangu ndichitiza
nehupenyu hwangu . Sekuru
vakazongosara hameno kuti kupi handina
kuzombozvitarisa ini.

End of chapter 38.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 3 9

Ruvimbo .

Handigoni kutsanangura mufaro


wandinawo hama dzangu . Zvinhu
zvandaive ndisina kumbobvira
ndafungira kuti mama nevanin'ina vangu
vaizouyawo kuchirungu. Asi chaindinetsa
chinhu chimwe chete chekuti vaive
vashanya sei kuzondiona ini ndaive
ndauya ndichizoripangozi ? Ndaive
ndisina kuroorwa kaini zvekuti vangati

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vauya kunana mukurungai vavo .


Zvisinei ndakazviudza kuti ndaizobvunza
hangu ivo mama nekuti zvizhinji zvaive
zvisingasangani pakuuya kwavo.

Ndakapinda mukitchen maive namama


ndichibva ndanovambundira ndokuti "
thank you for the surprise mom " she
hugged me so tight vachibva vati " you're
welcome my girl tatova family takadai"
ndakaziva kuti ndiyo surprise yaitaurwa
namama chete. Takabatsirana kubika
ndokubva tanoseta table . Vanhu vasati
vagara pasi ndakabva ndasheedza
Runako ndokubuda naye panze. Ndaida

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kunomutsiura kuti adzikame patafura .


Ko munhu wacho aimbofarisazve kana
achiona meso evanhu .

" Runako iyezvino vanhu vakunogara


patafura apo kuti vadye, zvauchanowana
zvichidyiwa ipapo idya wakanyarara
wazvinzwa? Ndikazokunzwa uchitaura
zvisina basa ndinokurovesa
zvandakazokuita zuva riye tirikumusha .
Kana zviripo zvaunenge usingazive
pachikafu chagadzirwa idya
wakanyarara wozondibvunza tava tega
hanty?"ndakadaro achibva agutsurira
musoro kubvuma .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Good hande tinogara pane vamwe "


ndakadaro achibva atevera.
Ndakanomugarisa pane yake chair
kwakubva ndatora plate hombe
ndokubva ndatora kanonaka kese
kaivepo ndokubva ndamuisira.
Ndakaziva hangu kuti tea haaizomboinwa
achiona juice saka ndakabva
ndamudirira iyo nekuti ndakaziva kuti
aitozoikumbira chete.

Takabva tatanga kudya hedu


murunyararo . Ini rangu ziso raive
risingabve pana Runako. Pazvinhu zvose
zvaive muplate make l think mazai ega

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndiwo aaiziva nekuti ndaiona kuti aiti


akasvika pane zvaanenge asinganzwisisi
aibva atarisa kwandiri kuratidza kuti
anenge achida kubvunza zvino aibva
atya.

Sebeacon yakamunetsa zvekuti


akanditarisa achanditarisazve kusvika
ndagutsurira musoro kuti idya achibva
adya ndikaona kuti aive anakirwa.
Wainyatsoona kuti mwana wamai vangu
atambura nekuda kutaura but l was
happy kuti takangosvika pakupedza
kudya akangonyarara . Chero mama
ndakaona vachinditarisa nemeso aive
azere kutenda mukati. Maybe aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ambovaitira minana ndisati ndauya . Ko


Runako wacho aimbozviitaka .

Ini ainditya nekuti aiziva kuti ndinorova.


Mama vaingoti ndichakurovai nemuromo
zvatopera . Ini ndakadai handizivi kana
vakandirova ndisati ndoziva but kubva
zvandatanga kuva nemeso handina
kumbobvira ndakarohwa namama.
Vaitoda munhu uya anogona
kuzvifungira ega nekungoudzwa mashoko
chete . Pakuonesa nzira dzakanaka vaive
nhamba hwani but pana Runako
ndofunga zvairamba kushanda nekuti
anga achiri mudiki . Anga achingova
ne8yrs chete . Zvino ini vaitoziva vese
naBertha kuti handidi zvinhu zvisina
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

basa . Ndairova chaizvo zvinova


zvaikonzera kuti ndikamutsiura Runako
andinzwe .

Vanhu vachipedza kudya ndakasiya tete


naBertha vosuka ini ndakumboenda
kuguest bedroom namama uko kwataida
kumbonokurukura .

Tichipinda vanobva vati " wazvionaka


zvandaitaura Zuva riye iwe uchifunga
kuti ndiri kukuitira hutsinye ? Urikuona
here kuti ugere zvakanaka sei pano ?
Izvozvi dai usina kuuya kuno kudzingwa
kwatakaitwa muraini dai tonogarepi ? "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakadaro vachigara pacheya ndichibva


ndashamisika nenhau yekudzingwa .

Ndisina kupindura zvimwe zvese


ndakabva ndati " Makadzingwa nani
nhai mama hanzi maita sei ?"
Vakandirondedzera zvese zvaive zvaitika
ndikarwadziwa zvisingaite. Ndakatoshaya
kuti bamkuru daka ravo nesu raive papi
chaizvo? . Kutaura chokwadi
ndakachema zvekurwadziwa chaizvo .
Handina kuziva kuti after vandiitira
hutsinye hwakadaro vaizonyepera mai
vangu kuti vadzingwe muraini. "May
God punish him zvose nen'anga yavo
iyoyo . May they not find peace for the
rest of thier life " Ndakamataura
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mashoko aya nekurwadziwa .


Ndakatotenda zvangu vanhu
vekwaChirima nerudo rwavo. Kubva
zuva iri l vowed to myself kuti
ndaizoteerera pamba apa dziri nzira
dzekutenda zvose zvavaive vandiitira.

Takakurukura dzose kusvika


ndazovaratidza mekuti vageze ini
ndokudzokera hangu kunogara
ndichivamirira kuti vapedze. Ndiri ipapo
fon yangu yakabva yapinda massage
kubva kuna Carl yaiti " ndokumbirawo
mugeze timbopinda mutown babe ,ndoda
kumbospoila varamu vangu"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakabva ndatoenda kubathroom


kwaigeza mama kuti ndinovaudza kuti
ndaive ndakumbonogezesa Runako
mukwasha wavo ati anoda kupinda navo
mutown .

"Horaiti mwanangu, ini ndanga


ndichikumbirawozve skirt iya yawakauya
wakapfeka mwanangu ndiwanewo
chekupfeka chirinani pane vamwe "
vakadaro vachireva plitted iye yavaive
vandipa ndichibva kumusha. Zvino yaive
yatoenderana pakanoraswa mabin.
Ndakanzwa tsitsi chokwadi . Mama vaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vasina mbatya . Chero kwaiitika maricho


ekusakurira nhumbi vaitonosakurira isu .

"Mai Cassie !" Ndakanzwa mama


vachisheedza vari pamusiwo ndisati
ndapindura mama kuti skirt yakaraswa .
Ndakabva ndabuda ndokuwana
vakamira pamusiwo vakabata zisuitcase
zihombe neplastic hombe anoshandiswa
semabin aya.

"Tora mwanangu upe mama vasanopfeka


nhumbi idzi . Hameno kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzichanyatsokwana here sezvo ivo


vakakura kumashure uku " vakadaro
vachiseka ndichibva ndaramba
ndakamira ndakavatarisa. Maziso angu
akajenga misodzi ndadzamirwa . Ungati
vaive vafemerwa kuti vaive vasina
chekupfeka . Ndaida kuzvishingisa kuti
ndisacheme but zvakandikurira
ndichibva ndachema ini ndichimbundira
gogo vaCassie . Chokwadi vanhu
vepamusha apa vaive nerudo . Chero
Berbee ndakatoziva kuti zvandaive
ndavasiya natete aitozopiwa chete
dzekupfeka . Aive nemunyama ndiye
Runako aive asina waanopfekedzana
naye .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"May God bless you mama " ndakadaro


ndichiwedzera kuvambundira kwakubva
vati " haiwa , ungatende nhumbi here
Madue newewo , tora upe severe vangu
vawane kuchinja . Sezvo imi murikubuda
nhasi isu tichazobuda mangwana
ndakunovagadzirisa musoro . Mwana
mudiki severe ava vanofanirwa
kumbozvida " vakadaro vachidzokera
vachiseka ndichibva ndasekawo
ndichidhonza monarch ndichipinda naro
mumba.

"Chitokururai hanyu muchinje mapihwa


nhumbi nasevere venyu " ndakadaro

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachibva vashama muromo vakatarisa


makuriro ebag racho .

"Hanzi ndedzangu dzese ?" Vakabvunza


maziso atsvukawo misodzi ndichibva
ndagutsurira musoro . Vakachema mai
vangu zvakandirwadza . Vaive vapiwa
nhumbi dzakanaka . Dzimwe dzairatidza
kuti dzaive dzisina kumbopfekwa . Zvose
nezvemukati zvaivemo zvitsva .
Ndakadzamirwa kutaura chokwadi .
Vakachinja mama kwakubva vapfeka
matennis matommy avaive vapiwa . Vaive
Vanaka mai vangu waive uchavaziva
here? Kupfeka zvakanaka kunokakisa
ndakazviona ini .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazobuda mushure mekunge


ndakungoisirwa mamassage hanzi huya
tigeze. Ndaizviziva hangu zvaidiwa
nemunhu saka ndakatanga ndapinda
mubedroom matete ndichinoudza Bertha
kuti agezese mwana . Ndakawana
vatopedza vese Betha atopiwa mbatya
natete atochena kuchingoratidza kuti
ndini ndega ndaive ndasara .

Ndakabva ndatomhanya ini mubedroom


kwangu uko kwandakanowana baba
Cassie vatopinda mushower.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakakururawo ndokupinda mushower


umo munhu akazonobatiswa madziro
mvura ichibuda kuti vanhu vasanzwe . I
think kwaive kunyara mbuyawasha. Ko
munhu wacho aive odyira kuonekedzaka.
Tichipedza takabva tabuda tachena
chena . Runako ndiye aive akangopfeka
zvakashata chete . Ndaive ndazviudza
kuti ndainokumbira baba Cassie mari
ndotanga kumutengerawo mbatya
dzakanaka ndomuchinjira mumota
nekuti chero kufamba naye chaiko
mutown muzere vanhu akadaro aive
asingaite. Ndaiona matarisiro aaitiita tese
kuti aida kutaura but achitya kurohwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tichisvika kutown ndakapihwa card


nababa Cassie vachibva vandipa pin
vachiti ndinotsvagira mainini mbatya
dzekuchinja . Kuita sekuti taive
tafungirana chokwadi . Haiwa
takatozoswera tofara vasikana
vakachena. Bamkuru natete vakapedza
shungu zuva iri vachifadza varamu vavo .
Takasweramo mutown tichifara hedu .
Takazoita shopping takutoenda kumba .
Takatenga grocery rakawanda raienda
kuAvondale. Hapana chatakasiya
tichibva tapfuura tichinorisiya . Nyama
yaive yazara fridge zvekuti vaidya
vakatambura nayo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takatozobvako kwasviba takudzokera


kumba . Mubedroom mababa Cassie
ndakasiya ndakiya . Ndini ndaizove
ndichiuya ndichizomutsvaira .
Takatosvika kumba vanhu vatopedza
kudya zvamanheru. Isu chikafu taive
takaguta isu saka takangosiya vakuru
vakagara takunozororora.

Mazuva akafamba kusvika vhiki yapera


apo paiendawo baba Cassie . Ana mama
ndipo pavainogarawo kuAvondale
zvakare . Kubva zuva ramhoresa Kenny
mama achiti hie ndaive ndisina
kuzombobvira ndamuona. Hameno

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

maybe aive atotama aenda hake sezvo


taimbopota tichienda kuAvondale
kunotsvaira . Runako chirungu aive
achijaira zvino asisanyanyi kungobvunza
bvunza . Kuairport takanzi taizoenda tese
tonoonekana naCarl . Kutaura chokwadi
l was bleeding inside but ndaive
ndisingade kuzviburitsa . Kkkk dai
makazoona zvakaitwa naRunako
achitanga kuona ndege dzakamhara ,
kkkk dai makaseka. Ko hanty aive ajaira
kudziona dziri mudenga. Hanzi " sisi
Rurue handei tinopinda mukati , ndoda
kuti vana Vimbai vagozondiona ndiri
mudenga " hanzi naCarl " ndanga
ndakusuwai mainini" aidaro achiseka
achitarisa Kuna daddy vake .
Takaonekana nemisodzi veduwe naCarl.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chero vabereki vake vakaidonhedza


misodzi . Ko aienda kureka munhu uyu .
Kenny aive anzi ati anouya achiri busy
haana kuzombouya kusvika ndege yana
Carl yatosimuka .
End of chapter 39.

C H A P T E R 4 0

Mai Ruvimbo .

Ndinoda kutanga nekutenda Mwari


vanova ndivo vakandisvitsa pano pandiri
nhasi . Ndaigara ndichisimbiswa
namufundisi kuchechi vachiti "
musanyanya kufunganya pamusoro

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pehupenyu mai Dube kuti ndidyei uye


ndichapfekei nevana . Hanzi panoperera
pfungwa dzedu dzaMwari ndipo
padzinotangirawo . Mwari havashandi
semashandiro atinoita isu vanhu .
Sometimes paunenge uchifunga kuti
iyezvino Mwari vazondirasa ipapo ndipo
pazvinenge zvakukunakira .

Hongu pakasarudzwa Ruvimbo kuti


aende kunoripa ngozi ndingaite sekuti
ndakaita sendisina hanya nemwana but
hazvisi izvo . Ndakangofunga mashoko
amufundisi ndichibva ndatoedza
kumusimbisawo ndichiti pamwe
vanogona varikufunga kuti vakuitira
hutsinye iyo ichitova a blessing in
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

disguise. Ndaitoziva zvandaiita nekuti


kuburikidza nebible study Mwari ndanga
ndonzwisisa mashandiro avo
zvakanyanya.

Hongu zvairwadza hazvo kuti pavana


vose vemumhuri wako ndiye
ongosarudzwa kuti anoita zvinhu
zvakaora kudaro apo nemhosva
yatisingatoziviwo kuti yakaparwa rini uye
zvaita sei nekuti seni zvangu kuti zvinzi
munhu uyu akaurawa nguva yehondo
zvaindirambira . Zvisinei Ruvimbo
achiendwa naye ndakapfiga musiwo
ndikapfugama pasi ndonamata . Ndaida
kuti simba remuvengi rinyadziswe. Kana
satani ane zvaaive akarongera mwana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wangu mberi ndakati Jehovha ndimi


munoona zvatisingaoni paradzai zvese .
Gadzikirai mwana wangu tafura pamberi
pevavengi vake muzadze mukombe wake
nemafuta kusvika wopfachukira .
Zvavakaitira Josefa Jehovha vachifunga
kuti varikumugona , ngavatevere ijipita
vamuwane ave governor vaone kuti
pavakarikava dafi vakanoriyambutsa .
Muri Mwari wenherera nechirikadzi
Jehovha munovhura nzira paisipo .

Ndakadana denga hama dzangu


ndikanyatsonzwa kuti ngoni dzadzika.
Ndakazviramba zuva iri ndikati bodo
Mwari hamungaregi satani achinditorera
zvese . Haangati akanditorera mufaro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wehudiki hwangu. Ndakurawo ndave


kuzviudza kuti iyezvino Mwari
vakandinzwawo vakandipa murume
anonzwisisa anondida obva abvutwa futi.
Horaiti ndoti ndazviona ndasarawo
nevana vandanga ndakuti ndidzowo
hama dzangu obva anditorera dangwe
achinoriitisa zvinhu zvandisingatendi
mazviri ? .

Ndakati kana Mwari pana Ruvimbo ndiri


kuda mukwasha . Mwana wangu haasi
kuzofa akatakura mwana anonzi
ndewengozi . Akapara mhosva dzake
ngaadzipedze ega. Ruvimbo anokuzivai
Mwari saka musarega satani achiita
zvaanoda naye . Hama dzangu munhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

anoti Mwari haapinduri minamato


anonyepa . Minamato inopindurwa ipapo
ipapo pane patinenge tichingoresva
chete .

Kutaura chokwadi handina


kuzomborwadziwa nekuenda kwaRue
nekuti ndakangoziva kuti God is in
control. Pandakazoenda kuchechi
ndichinoudza mufundisi nenhau
yekuendeswa kwaRue ndipo pavakabva
vatondiudza kuti vaive varota gotwe
rangu richiitwa chibayiro but munhu
wacho achiratidza kuti aive
wemumusha. Ndinoda kutenda hama
dzangu nevanhu vekuchechi vakamira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

neni pakutsanya nekunamatira mwana


wangu .

Mufundisi vakandiudza kuti miyedzo


ichatombouya but all is well . Ndizvo
zvandakatozoona pandaiva ndarongerwa
nabamkuru. Ndaive ndakushaya kuti
ndinonangepi nevana ndisingazive kuti
Mwari vaive vakandirongera zvikuru.
Ugoona ndaive nemufaro ndapedza
kuudzwa nasevere kuti Ruvimbo zvinonzi
aive akatakura matwins . Vaive vadaira
munamato wangu Mwari . Mwana wangu
was so young and innocent veduwe
zvekuti kumuendesa kunoripa ngozi
hwaitove hutsinye hwemandiriri
chaihwo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vapedza ipapo vondinyadzisa pavanhu


zvakadaro ini. Mhosva yangu iri yei asi ?
Yekuti ndakavaramba ? Iko nhaimi
zvakamboitikepi izvozvo kuti tezvara
vanoti vanoda kugara muroora
nhaka?Rimwe Zuva zvakatombonzi
ndibatisewo magadziko ako ndipedze
shungu . Munhu wacho kuti uti
akakwana here unotoshaya.

"Mufundisi vakandiudza kuti


patinoperera Mwari imi ndipo
pamunotangirawo. Ini handina
kwekuenda nevana uye chero nemhosva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yandiri kupomedzerwa munonyatsoziva


kuti handina kuipara saka itai sekuda
kwenyu" ndakamataura mashoko aya
ndakagara pabenji aya emumakitchen
eround ekumusha. Kutoburitsa fon
kwandakaita ndichifonera severe
ndaitoda kutaura naRuvimbo ndimuudze
kuti ndaive ndadzingwa ndisina kuziva
kuti ndipo paitangira pfungwa
dzaMwari . Ndakamboda kunyara but
ndakati aiwa zvamandipa Mwari wangu
ndinotora handirambi.

Pandakanzi nditorongedza mbatya


tirikuuya kuzotakurwa nemota ndakabva
ndatoudza Bertha ndokubva tatotanga
kuwacha tichiyanika seri kwemba . Ko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaigove zvinganiko? Chinhu chaitova


nani indiro dzangu dzeKango dzandaive
ndatenga baRue vachiri vapenyu .
Ndakaisa mubucket kwakubva zvimwe
zvese ndapisa . Chero kubika zuva iri
hatina takangomirira mota .

Munhu wacho aive atumwa aingofamba


achifona ndichimupa madirection .
Kuma9pm ndipo paaisvikawo pamba .
Akabva atotiudza kuti boss vake vaive
vati kwaifanira kuzoyedza tave
kuHarare . Zvino nenzira dzedu
dzekumusha zvaive zvakangooma nekuti
unenge uchifanira kutonyengetedza .
Nzira yakanaka yaitowanikwa paGokwe
centre wakuenda kuHarare . Kumwe
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwese uko igravel yakatozara makomba


zvayo .

Zvisinei munhu wacho airatidza kuti aive


akajaira kudriver mumakomba imomo
nekuti hazvina kumbotitorera nguva
kusvika kuCenter . Pandakaona tave
kuZhombe ndakafema mweya
unotonhorera . Chokwadi ndaive
ndazorora kugara ndichishungurudzwa.
Ko iko kuzoti nekupumhiwa huroyi
kwandaive ndaitwa, maizogarika here
muraini macho ? . Apa ndipo
pandakanyatsoona kubata kwaMwari.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

KuHarare takanosvika kuma4am chaiko


vamwe vanhu vakutofamba vachienda
kumabasa. Zuva iri ndiro randapa
kutenda kuti zveshuwa Mwari vane
favor . Kune vamwe vanhu vairarama
kalife munyika umu kwete kahupenyu
katairarama tiri paruzevha. Wotoshaya
kuti zvinombofamba seiko kuti vamwe
tinongozvarirwa munhamo wokuriramo ,
kuroorwamo kusvika wafa
uchingotambura asi vamwe vanhu
vachitorarama hupenyu hunenge
hwekudenga kudai . Hupenyu hwekuti
chero ukanzi wafa nhasi haumuki
chipoko nekuti unenge usina chaunochiva
pano panyika.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Nemadhumbu edu nevana vangu taitotya


kugara pamitepfe tepfe yemasofa
yakadaro but ndinotenda rudo rwaive
nemadzisevere angu nekuti vaitoita sekuti
havasi kuona kuti taive takapfeka zvinhu
zvisingaite. Vese zvavo vakatigashira
nemwoyo unofara kusara kwemukwasha
mudiki chete airatidza kusvotwa chaiko
nehuvepo hwedu. Zvisinei hazvo chaive
chakangonyanya kutikoshera chaive
chokuti varidzi vemusha vaive
vatigashira vachifara .

Takatomboita mazuva tichigara apa


severe mai Simba vachiti vanosurikirwa
kana vari Vega. Zvino kuti tigare tese
apa kumba kwemukwasha kwataifanira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kunochengeta kusina munhu zvaive


zvisingaite. Pakaenda mukwasha nesuwo
takabva tatotama kuendawo
kuAvondale . Yaive yakanaka imba
yemukwasha wangu chero zvazvo yaive
isingasvike pane yababa vavo . Ndaive
ndazviudza kuti ndaizopachengeta
zvakanaka zvekuti chero naivowo ndaida
kuti vasazozvishore pakuchengetesa ini.

Vaida kuendesa vana kuprivate school


but ndakarambisisa ini ndikati ngavarege
vadzidze pagoverment school. Chokwadi
nezvavaive vatiitira voda kuramba
vachingospenda?. Chero ukatarisa mari
yandaive ndasiirwa nemukwasha achiti
ndionewo zvekuita nayo ndakabva
ndatoirongera . Ndaida kutotanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekuhodha Muriwo ndichitengesa .


Ndaive ndisingade kupa madzisevere
angu musengwa. Chandaive ndakungoda
kuziva ndekwairimwa Muriwo wacho
chete .

Ndakafonera severe vakati vaizouya


tombopinda mumaplots tonotsvaga .
Kumwe ndakaziva kuti kwaive kuda
kungondiona chete nekuti vaindifarira
zvekuti . Semazuva aya Ruvimbo ainzi
arikuita zvechikoro uyu musikanawo
wavo kuchikoro murume wavo kubasa
saka vaitobhowekana. Vakauya nemota
tikaenda kumaplots kwacho kwandisina
kuziva zita but takanouwana hedu.
Ndakauya ndikasunga zvibundu
zvakati wandei ndokungoti severe
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachibuda ini ndichitotakurawo dishi


pamusoro ndofamba ndichisheedzera .

Rakatozosvika pakudoka dish rangu


rapera ndichibva ndazviudza kuti
mangwana ndaitozoita zvetax chete .
Chokwadi zvinhu zvaiendeka zvekuti
ndakatozowana mukoto wefish ndichibva
ndatombosiya zvemuriwo
ndomhanyidzana nadzo. Idzo dzaive
nemari zvekuti hapana kana chimwe
chete chandaive ndichabatsirwa
nanasevere.chero school fees chaiyo
ndaive ndobhadhara ndega zvose
nechikafu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mwedzi yakatofamba ukuwo dumbu


raRue raive richikurawo kusvika rimwe
zuva raazondifonera achichema . Mwoyo
wangu wakarwadza nemachemero ake
nekuti ainyatsoratidza kuti airwadziwa
chaizvo. Ndakaedza kumubvunza kuti
zvaive zvaita sei but aingochema .
Kungoti ndaive mutown ndichitengesa
pamwe dai ndakaendako .

Ndakabva ndafonera severe ndichibvunza


avo vakati havasi kunyatsoziva but
zvirikuita sekuti pane zvaagamuchira
pafon pake zvinova ndizvo zvaari
kuchema . Ndakatoshaya kuti chingadaro
chiri chii nekuti bamnini vake vaye
vekumbomuvenga vaive vauya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakazokumbira ruregerero zvekuti vaive


vatodzoka pamba vowirirana .

End of chapter 40.

C H A P T E R 4 1

Sekuru vaChido.

Ndaive ndoshaya pekubata hama dzangu.


Zano chairo raive randiperera zvekuti
chero zvekufunga ndaive ndisisazvizive .
Sekubwaira kweziso zvinhu zvangu
zvaive zvaita manyama amire nerongo.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichibva kwasekuru ndaitsvaga zano


rekuti zvimwe ringandipukunyutse
mumumbure wandanga ndadai
kutenherwa nevana vandakabereka but
ndaishaya .

Chimwe chaive chonyanya kundinetsa


ndechekuti kazongo aizondiita sei sezvo
aive afumurwa ? Kana ndaisazorumwa
hangu naKazongo wacho zvaive nani.
Zvinhu zvacho kutaura idi zvaive
zvandiremera kumusoro setsvimbo.
Kumba ndaingoenda hangu but kuti
ndizive kuti ndaienda kunoitei chaiko
ndaitoshaya . Iko ndaizvibvunza kuti
chambonyanya kukonzera kuti sekuru
Chiwara varware njere chii ? Zvino kana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuri kufumuka kwemhiko ndakatoona


kuti neniwo ndaigona kuzongopenga.

Zvisinei ndaive ndoedza kuruka zano


ringandiponese munyatwa yandaive
ndazvipinza ndega iyi . Ndototi
ndakazvipinza ndega munyatwa yacho
nekuti dai ndisina kufunga zvekuuraya
mbuya vaRuvimbo pamwe dai ndisina
kuromba. Ndakafamba hama dzangu
kusvika ndanosvika kumba ndisina kana
chisvinu chandaive ndambofunga .
Ndakawana mbuya vaChido vachichema
vari muimba yekubikira kwakubva
ndangonanga ikoko ndichida kunonzwa
kuti vaichemei ?

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichipinda ndakavaona vakagara


vakararisa Solo pamakumbo uyo
aingoyeredzawo misodzi . Ini ndaive
ndatozvikanganwa zvangu kuti kuna Solo
aive ada kuzviita mhare yokuridza ngoma
akatumba papfumo. Kuda aifungidzira
kuti kazongo ndiFreddy mwana wamai
vake aimutusvaidza , zvino kazongo
ndikazongo haadi dzungu. Kana akafa In
his next life achaziva kudzikamisa hana .

"Ko ukagotakura Solo pamakumbo ave


mwana here?" Ndakadaro ndisina kana
hanya ini . Mbuya vaChido vasati
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

apindura Freddy akabva apinda


akatakura bhemba. Yowe
ndakavhunduka nekuti mabhemba aya
ndiwo anonzi anoshandiswa
nemakorokoza kuurayana nawo .
Ndakatoshaya kuti aida kuedza kuita sei
chaizvo kana aitipindira mumba
nebhemba .

Paakapinda anobva avhara musiwo hana


yangu ichibva yatanga kurova . Zvaida
kuitika ndaive ndatozviziva . Zvokwadi
regai Tongai Moyo akati zvinhu
zvinoshanduka , zvokwadi nematyirwo
andaiitwa nemhuri yangu ndivo
vakundivharira mumba nebhemba kunge
ndave gororo kudaro ?.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ngatigarei pasi timboita a serious talk


mudhara " akadaro achigarawo pasi
ndichibva ndamedza mate anopisa
ndichigarawo . Anobva agadzirisa pahuro
pake ndokuti " l think pamakabata
munopaziva mudhara uye zviri
kukonzera ndufu dzese dzirikuitika idzi
munozviziva zvakare . Nhau iripano
ndeyekuti ini nemi toita dhiri , kana
musingadi kufumurwa munyika kuti
vanhu vose vazive hunhu hwenyu
murikufanira kunditendera
kusheedza madzibaba vauye mangwana
chaiye vazotora zvinhu zvenyu zvese zviri
mudura umo . Iyezvino ndofunga
murikuona kuti Solo haachaoni
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvichikonerwa nezvinhu zvenyu , hameno


kuti imi munotiwo chii nazvo?"

Akabvunza akanditarisa mumaziso


chaimo ndichibva ndabwaidzika
ndichitarisa Pasi. Nhaimi kana
ndikatorerwa kazongo negirazi ndozdii ?
Hongu zvaipedza mhuri hazvo but
zvinhu zvangu ndizvida .Seipapa sekuru
vaive vopenga zvekuti ndaive
ndisisatombotarisiri kuti ndine zvimwe
zvandichawana kwavari . Plus makona
angu aiita kuti ndive munhu ane
chiremera pane vamwe vanhu. Umm
kutaura chokwadi zvinhu zvangu ndaive
ndichiri kuzvida ini. Zvino ndaiti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndikatarisa bhemba raive muruoko


rwaFreddy ndobva ndabatwa nekutya.

"Ndichafunga nezvazvo " ndakadaro


Freddy achibva atema danda raive
muchoto nebhemba mazimbe
achipfachuka zvekuti vanhu takapotsa
tatsva achibva ati " ndiri kuedza nepose
pandinogona napo kudzora hasha dzangu
don't test me . Ndinokudimburai musoro
nebhemba iri ndikanokuvigai kurwizi
uko zvikarova manzwa ? Hamuna ngozi
imi musade kundigumbura . Sei mune
hutsinye hwakadaro ? Makamuudza here
mudzimai wenyu kuti vanhu vose
varikufa mumhuri inyoka yenyu
yamunenge muchifidha neropa yadai
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kusvipira Solo? , ndati vanozviziva here


mbuya vaChido kuti rufu rwaTiri ndimi
makarukonzera muchibva manyepera
mainini mai Ruvimbo nen'anga yenyu? "

"Wati chii Freddy ?" Vakabvunza mbuya


vaChido nechiso chaive chizere
kushamisika kukuru Freddy achibva ati "
bvunzai murume wenyu uyu . Nemiwo
munoita kunge makadyiswa , kubva
maita kunge kuzungairwa kudaro ?.
Izvozvi muchiona mwana apinda mudura
achibva abuda asisaoni murikufunga kuti
chii ? Kudhumbaika here mhai kunoita
kuti musaone nezvimwe zvinhu zvingori
pachena kudai ? Munoda kuitwa sei ?
Munoda kurohwa here kuti pfungwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

dzenyu dzifunge zvakanaka? Murume


wenyu muroyi uyu , muthakati chaiye
apedza rudzi" Akadaro Freddy
achinyatsoratidza kuti aive akagumbuka
kwete zvishoma asi achingoedza
kuzvidzora hake .

"Saka unoreva kuti aive manyepo here


Freddy kuti ndimainini mai Rue
vakauraya Tiri ?" Vakabvunza mbuya
vaChido vachichema . Handifungi kana
vaive vachazondiregerera . Freddy
Akaseka zviya zvekurwadziwa ndokuti "
nyoka yapofumadza Solo mudura umo
ndiyo imwechete yakauraya mukoma
baba Chido , bamnini baba Ruvimbo
pamwe naTiri . Kana ndichinyepa uyu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muroyi wenyu ari apa uyu ngaazvirambe


tione . Handina chandisingazivi ini . I
know everything mudhara . Takaudzwa
nhau iyi Tiri asati ambofa tichibva tanzi
tiuye tizoshandirwa nyoka iuraye muridzi
wayo but Tiri akaramba tichibva taenda
ini naSolo tiri vaviri. Muchiona
vakazopumha mainini mai Rue huroyi
inhau yokuti vaida kuuraya Runako
kwakubva vatadza nekuti vakawana
akachegetedzwa nemweya mutsvene
ndokubva nyoka yauraya Tiri . Saka ava
nekurwadziwa manje vakabva vafunga
zvekufremera mainini nyaya . Ivo
Pachavo vaitoda kuti mainini vaurawe
but zvakaramba. Mainini havaroyi
mhai . Mai Ruvimbo munhu anotya
Mwari , hameno kuti kana murume

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wenyu akaramba achida kuomesa


musoro kudai muchanyarira pai
ndanosheedza munhu waMwari kuti auye
ndobva ndaunganidza dunhu rese kuti
rione chikara charanga richigara nacho "

Akapedzisa achidaro achitosimuka .


Zvino kuti ndifumurwe bodo zvaive
zvisingaite . Freddy wacho aitoratidza
kuve serious zvekuti paakangobuda
ndakabva ndatofunga zvekutaura naye
ndimupe zvimwe zvandaishandisa abve
angosiyana nayo nyaya yacho .
Kufumurwa ndaive ndisingade uye
kurasikirwa naKazongo ndaive
ndisingade zvakare ndizvo ndaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndatofunga zvekuti nditaurirane naiye


Freddy wacho.

Achibuda neni ndakabva ndatobudawo


ndichimutevera . "Freddy !"
Ndakasheedzera achibva acheuka. Aitove
pafoni hameno kuti ndiani waaitaura
naye? Zvino kana aive madzibaba wacho
waaitaura naye zvaisatomboita zvachose
kuti auye . Munhu aionesa iyeye nekuti
chero maudziro aakaita vana Freddy
anondityisa nanhasi . Akanyatsovaudza
nemo nemo zvekuti haana kana
paakatapudza kana kuwedzera . Anoona
munhu iyeye kwete zvekufungidzira .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Freddy akanditarisa kwakubva ati "


ndokufonerai back manje manje regai
ndinzwe kuti mudhara arikudei uyu "
akadaro achitouya pandaive. Ndakabva
ndachinyatsova nesure yekuti aive
madzibaba chete waaitaura naye . Freddy
aive ozvitonga pamba pangu chokwadi .
Shuwa kuudza mutorwa kuti regai
ndinzwe kuti mudhara uyu arikudei
achireva ini baba vake . Kutaura
chokwadi zvakaoma .

Ndakamubata ruoko ndichibva ndaenda


naye seri kwemba kwakubva ndati"
Freddy mwanangu chimbosiya zvauri

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuita . Kunotsvaga kwandakaita hari iyo


yaisave nhau yokuti paive newandaida
kuuraya bodo . Munhu wenyu iyeye kana
akatokuudzai achidaro akanyepa Freddy
nekuti hapana pandingamboenda
kunotsvaga mushonga unondipedzera
mhuri ndichiziva. Hari iya ndaive
ndanoitsvaga because ndaida kusimbisa
musha . Ndaida kuti pamusha pangu
pasadhererwa nevaroyi ndizvo uchiona
ndakangosvikopa mutemo wekuti hapana
anopinda mudura . Ndaive
ndisingatoziviwo kuti muhari mune
nyoka ini kusvika zuva razoshaika baba
Chido apo pandakabva ndaenda
kwasekuru uko kwavakanosvika
vachindiudzwa kuti vaive vakangamwa
kundiudza kuti muhari mune nyoka

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

inodya ropa after every five years ndizvo


yazvisarudzira munhu wainoda
wekuuraya . Munhu wandinoti
ndakauraya nemwoyo unofara ndibaba
Rue nekuti ndakaziva kuti kana
ndaizonzi ndafa nhasi aigona kuzosara
akakutorerai minda. Remember baba
Rue aive mwana wepfambi. Zvaaizosara
akaita ndaive ndisingazvizivi saka ndaida
kungogara ndaavoida izvozvo. But
kuvana vangu chaivo hapana akafa
nekuda kwangu. Asi sokutaura
kwasekuru vakati gore rino ndiro
rokupedzisira kuti kufiwe "

Ndakatoona kuti rega ndinyepe


ndichidaro kuitira kana ndozomuoffer
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvinhu zvacho asazorambe achiti


zvinozoda ropa . Iye hapana
zvaakambotaura akangoramba
akanditarisa mumaziso chaimo zvekuti
ndaive ndakutoshayawo zvekuita .
Ndaona asiri kupindura ndakabva
ndaenderera mberi ndichiti " saka
hameno Freddy, pane zvandanga
ndafunga saka hameno kuti
uchazvigamuchira here?"

Ndaive ndakatarisirazve kuti zvichanzi


taurai zvenyu but kwaingovewo kurota
nekuti akangoramba akanyarara
akanditarisa ndichibva ndangoenderera
mberi ndichiti " ndanga ndichifunga kuti
ndikupe zvimwe pane zvandanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichishandisa . Ndinotori nemheni


nezvivanhu zviviri zvandaive
ndichangopiwa nasekuru asi handina
kunge ndakwanisa kuzvishandisa nekuda
kwekuwandirwa . Saka kwauri
chikumbiro changu changa chiri chekuti
urege kusheedza madzibaba tisheyane
zvinhu zvacho . Chero ndikanzi ndafa
nhasi iwe ndiwe unobva wangosara nazvo
zvese plus chero kukorokoza kwauri kuda
kudzokera ikoko unongonosvika
uchiwana mazimari nekuti nditori
nemushonga weraki wandinawo .
Hameno kuti iwe unozvionawo sei
Freddy ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapedzisa ndichidaro
ndokusimudzawo chiso
kumutarisa. Kutaura chokwadi ndaive
ndisina mheni nezvidhoma . Zvinhu izvi
ndaive ndakazvivimbiswa nasekuru
Chiwara zvichibva zvazongovhiringwa
nenhau dzose idzi . Plan dzangu dzaitove
dzekuti kana Freddy anenge abvuma
mangwana acho ndotomukira Binga
kunotsvaga zvinhu zvacho .

"Tauraka tinzwe Freddy " ndakadaro


ndaona angoramba akandidzvokora
achibva adzungudza musoro wake
ndokuti " hamuna kukwana chokwadi .
Makatoroiwa neakafa chaiye nekuti dai
ari mupenyu okuroyonorai. Zvino
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

madzibaba ndivo varikutouya pano nhasi


chaiye . Chinhu chandanyanya kufarira
ndechekuti havasi kure . Vanga
vakatosheedzwa neumwe munhu kuti
vauye vavabatsireiwo vatambura sesuwo
kudai . Manheru madzibaba vanenge vari
pano "

Akadaro achibva pandiri achiridza


tamwa achinopinda mugota mavo .
Ndakasara ndangomira zvino panzvimbo
imwechete ndapererwa . Ndakambofunga
zvekutiza but zvaive zvakangofanana
nekuti zvaizongobatwa chero ndisipo .
Kwakatozongosvika pakudoka
ndichingovapo ndigere ndakapererwa .
Mbuya vaChido chero kutaura neni vaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vasisadi . Ndaiti chero ndikabvunza


chinhu vainyarara. Ruvengo ndirwo
rwandaiona mumaziso avo.

Hana yangu yakachizonyatsokurova


zvino ndichiona mota yaisvika pamba ina
Freddy mukati . Ndaive ndisina
kumboona kuti aive abuda saka
ndofunga aive aenda kunovagamuchira.
Ndakatanga kunzwa muviri wangu
kuzara chando nekuti kudura ndaive
ndonzwa kamuridzo kaya kanoitwa
nenyoka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Yagumbuka ndiyo irikuridza muridzo


uyo . Mirirai kure munokuvadzwa "
akadaro murume aive akaisa mucheka
mutsvuku muhuro. " ko madii matanga
manamatira Solo nhai madzibaba aonewo
mashura ababa vake " akadaro Freddy
kwakubva zvanzi namadzibaba "
hazvigoneke , inoda kutanga yatourawa
ndiko kuti Solo apore . Pasina izvozvo
hapana hapana , yoweeee" akadaro
murume uya achishamisika akanongedza
kudura uko kwatakaona mashura. Haa
hama dzangu handisati ndimboona
zvakadaro chizvarirwo changi ini.

End of chapter 41.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 2

Narration.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Madzibaba zvavakashamisika
vachinongedza kudura, meso evanhu
vese anobva atarisawo ikoko. Hakuna
asina kuvhundutswa nezvaaiona . Kana
vari sekuru vaChido vaive vaburitsa ziso
kurikushamiswa nechikara
chavaichengetera muhari vachitaura
nacho mazuva ese ichi . Nemadukukiro
ehari yavo vakatoshaya kuti nyoka
yakakura kudai yaikwana chirudzii
nekuti chero yainoungana apo dutu racho
raikura kupfuura hari nekure

Ivo pachezvavo kazongo vaive vasati


vakambomuona mumaziso avo .
Vaingoziva kuti arimo muhari
sokuudzwa kwavaive vaitwa nasekuru
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chiwara . Dai kusina kutozofa baba


Chido pamwe nanhasi dai vasingazive
kuti muhari munogara nyoka , zvino iyi
yavaive voona apa yaityisa . Chero
madzibaba vakapindwa nekutya
kusingaite nekuti chero vaisimbodzibata
nyoka mumisha yevanhu vaive vasina
kumbobvira vaona nyoka yakakura
kudai .

Apo nyoka yacho yaitoratidza kuti


inodherera zvayo nekuti kubuda
kwayakaita mudura yaitouya kuvanhu .
Madzibaba zvaive zvangovewo zvivindi
zvenhema but kutaura chokwadi nyoka
vaive vaitya iyi. Vakanyatsoona kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hayaingakona kunzi inodya ropa nekuda


kwemakuriro ayo .

"Ndokumbirawo vanhu mose mubude


mumusha kusare mwene wenyoka nesu
tirikuita zvechechi chete " vakadaro
madzibaba vachigamuchira mbiya yaive
yakabatwa neumwe wavo wavaifamba
naye kwakubva vatanga kumwaya mvura
kwaive naKazongo . Zvino havana
kuziva kuti zvavaitoita zvemvura izvi
vaiiwedzera ukasha zvekuti
vakatozozvibatsira nekumhanyira
mumota vapotsa vahweturwa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kuti vasarende zvakare vakaona


zvichizovaisa muvanhu kwakubva vaita
zvivindi zvokubuda. Kana vari sekuru
vaChido ndivo vanga vatove runhambwe
vachitiza . Vakati bodo handingamiriri
rufu ndakarutarisa . Vaiti vakafunga kuti
ndiro zinhu ravainoomberera vasina
kusimira vaibva vanzwa miviri wavo wese
kuzara chando.

"Ko baba vemusha vaendepi? Ngavauye


vadzikamise mhuka yavo iyi.
Inotonzwisisa muridzi kupfuura vanhu
vose " Vakasheedzera madzibaba
mushure mekunge vaona kuti ndivo vega
vaive vangosara pachivanze .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ko imi baba murikutsvagei


ikoko ?dzokerai munodzikamisa nyoka
yenyu uko . Sei muchida kundikonewa
imi? Murikuda ndisheedzere vanhu vose
vauye here munyare baba? Sei muchiguta
kunyarwa imi?" Akadaro Freddy opupa
nehasha achiswederera baba vake .

"Unoda ndirumwe here Freddy ? Sei


urikundiitira hutsinye iwe?" Vakadaro
sekuru vaChido maziso atsvuka misodzi.
Dai freddy aiziva kuti varikutorevesawo
kuti varikuitoityawo pamwe dai
akavanzwira tsitsi .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Makuzoitya nhasi ? Kare kwese uko


pamaipinda mudura moga sei maive
musingaitye? Munozviitisa kaimi
ndisheedze vavakidzani izvozvi vauye ?
Akadaro achivaswederera kwakubva
vatanga kufamba nenhendeshure .
Kufumurwa munyika ndiko kwavaive
vasiri kuda saka vakabva vangotanga
kufamba vachidzokera kumba . Kana
vari mbuya vaChido vaive vangobata
Solo wavo ruoko uyo aingobvunza kuti
"maiona here nyoka yacho mhai? Ihombe
here ? Yakaenzana nani kureba?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Airatidza kuti aive neshungu chaidzo solo


dzekuda kuona kuti nyoka yacho yaive
yakakura sei ? Zvino meso paive
pasina .Sekuru vaChido vanobva vatanga
kufamba vachiita sevanonyangira
vachienda kumba kwavo . Iiii kufa vaive
vasati vada . Vaive nezvakawanda
zvavaive vachiri kufunga kuita . Iyezvino
vaive vasisade zvenyoka inozoda ropa
revanhu . Iyezvino vaive voda zvidhoma ,
mheni , zvitsinga pamwe nemubobobo.
Nyoka vaive vachera chikomba vakasvipa
kuti handizvipamhi .

Vakawana madzibaba vari pafoni


vachiratidza kuti pane wavautaura naye
mayererano nezvanhau yacho nekuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakazovaona voburuka vakatakura imwe


mbiya . Hwaive husiku zvahwo but
nekuda kwemwedzi waive
wakavhenekera vakanyatsoona kuti yaive
powder chena yaiita kunge hupfu or
flour . Madzibaba vanobva vatanga
kumwaya powder iya pasi . Sekuru
vaChido vakadzungudza musoro
vachizvibvunza kuti angadaro ari munhu
waMwari wechokwadi here iyeyu nekuti
kana ari iye chaiye chirikuita kuti afonere
umwe munhu achimubvunza zvekuita
chii ?

"Ndivo vanhu vanoporofita nemisoro


yemagora ava . Zvino kana achifaker
chikristu kazongo achamudzidzisa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chikoro" vaidaro mupfungwa dzavo


sekuru vaChido but vasati vambopedza
zvavaifunga madzibaba vaive vapotserwa
pamusoro pemba. Madzibaba vakaridza
mhere iyo yakabva yanzwika
nevavakidzani vasekuru vaChido avo
vakabva vamhanya vachiuya kuzobvunza
kuti chii chaitika? . Zvino vakabva vaita
munyama wekuti sekuru vaChido
vakabva vakasika kuvaona vachibva
vatanga kufambisa vachinosangana navo.

"Murikuendepi imi ? "Vakabvunza


vachisangana navo kwakubva baba
sammy vati "tanzwa mhere tikafunga
kuti pane zvaitika tine hurombo hatisi
hedu kurwa" vakadaro baba Sammy
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakasimudza maoko mudenga kurikutya


kugadzikwa tsvimbo yaive mumaoko
nasekuru vaChido. Ko munhu wacho aive
asingavimbwika .

"Akakuudzai kuti kana mukangonzwa


mhere kumba kwangu munotomhanya
ndiani ?" Vakabvunza kwakubva baba
namai Sammy vapererwa
ndokungonyarara .

"Izvozvi dzokerai kumba kwenyu handidi


hangu zvekutaura nemi . Uye muzvigume
izvozvo zvekuti mukangonzwa mhere
kumba kwangu motomhanya .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Murikunyatsoziva kuti Tiri


takamuchengeta nezuro saka
chinotadzisa kuti vanhu varikuuya
kuzobata maoko vacheme chii ?
Mukwane imi mazvinzwa? Muchiti iwo
maziteya " vaidaro vachitendeuka
kudzokera kumba kwavo . Baba namai
Sammy vakasara vakapererwa. Zuva iri
ndiro ravapika muhana dzavo
vakazviudza kuti chero zvoita sei
kwasekuru vaChido havachaendi .
Vakazviudza kuti kana vaizoendako
hunge vatumirwa mwana kuti svikai
kuno . Iko vakazvishora idi nechifuva
chavaive vaita . Zvedi vainyatsoziva kuti
paive pachangobva kufiwa but ivo
vakabva vatomhanya vachifunga kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pane chakashata chaitika. Vakadzokera


kumba kwavo vakapererwa chaiko.

Sekuru vaChido vachidzokera pamba


vakatozowana nyoka yaroverwa hoko
nhatu . Yekutanga yaive mumusoro then
yaitevera padumbu yekupedzisira iri
paitangira muswe . Vakabhowekana
zvisingaite nekuuya kwaive kwaita ana
baba Sammy kwakavatadzisa kuona kuti
vanhu ava vaive vabata sei chikara ichi ? .
Chavasina kuziva ndechekuti powder iyo
iya yaimwaiwa pasi ndiyo yaipedza nyoka
simba kana yaifemba . Zviya zvokutoita
kunge yadhakwa. Payakatozopotsera
munhu waMwari pamusoro pemba
nemuswe dzaive dzangovewo shungu but
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yaive yakutopera simba . Madzibaba


ndivo vaive vaminyuka gumbo
nokudonha kwavaive vaita.

"Zvino yanga ichifanira kuti irare


yakadai kuitira kuti imuke yakafa nekuti
mhuka iyi haifi zvekudaro . Mangwana
ndipo pandanga ndichazoipisa hangu
zvino imi murikuti hamusi kuda kuti
vanhu vazive " vakadaro madzibaba
kwakubva Freddy ati "aiwa madzibaba .
Sezvo mati ichiri yakadhakwa dai
matoipisa nekuti ndirikuda kuti solo aone
" madzibaba vaive vatorivara mezvasolo
saka vakabva vatoita zvaive zvataurwa
naFreddy.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakabatsirana kuritakura kazongo


vachiriisa kunze kwemusha. Sekuru
vaChido vakanzi vapinde mudura vatore
zvimwe zvese zviiswe pamwechete zvitsve
vachibva vangoita kunzwa
nokuita. Vakasimudza zvose nehari
ndokuenda nazvo. Freddy akapinda
mudura nemwenje achida
kunyatsogutsikana kuti paive pasina kana
chidiki zvacho chasara .
Anyatsogutsikana ndipo madzibaba
pavakadira peturu vachibva vabatidza .
Kazongo ainhuwirira kuratidza kuti aive
nemafuta akawanda fani .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vaive vasara pachena sekuru


vaChido. Kunzwa kureruka chaiko
zvekuti vaitoshayawo navo kuti chii
chirikuitika . Vaive vangogara pamadziro
emba nenyadzi . Vainzwa madzibaba
vachinamata vari mukitchen
vachinamatira solo . Vaifunga kuti
zvimwe kufa kuchaita kazongo ndiko
kuvhurikawo kwemeso asolo but hazvina
kuita sekudaro nekuti zvakangoramba
zvakadaro. Vakatozoita zvekunamatira
mvura iyo yavakati aizove achigeza nayo
meso kwemazuva matatu. Vaida kurara
vozomuka vachienda mangwana but
vakadzingwa nasekuru vaChido vachinzi
zvamanga mafambira mapedza chiendai .
Vaive vave nehasha dzokudya munhu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaiye sekuru vaChido.Chavaive


vangomirira kwaive kuti vanhu vatange
varara then vozoenda kunouraya mai
Rue. Vaive vazviudza kuti vachibva
kunouraya mai Rue vaibva vatopinda
munzira vorara vachifamba vachienda
Binga.

Vaive vasingatodi kuti vamuke varipo


vachitarisana zviso nevanhu . Vaida
kuzonodzoka vave untouchable zvakare .
Vanyatsobikwa nana godobori veBinga
zvekuti chero huku dzikavaona
dzinotiza . Kurerutswa kwavaive vaitwa
naFreddy vaive vasina kukufarira .
Zvisinei vakangozviudza kuti
ndichazvipedza. Vakanogara seri
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwedura kusvika vakunzwa vanhu


vasisataure vachibva vaziva kuti vanhu
vaive varara vachibva vatosimuka voenda
kwamai Rue.

Vaive nehasha navo mai Rue


zvisingaite. Dai vaive vasina kuenda
naRunako kuchechi dai zvose izvi zvisina
kuitika. Vaifanira kutoifira chete nhau
iyoyo mai Rue . Vachisvika pachivanze
vanobva vawana pakanyararwa kuti zii
vachibva vaziva kuti vaive varara kare .
Vanobva vabuditsa gavi ravaive naro
kwakubva vabata muruoko . Imba
yairara mai Rue nemhuri yavo vaiiziva
saka vakabva vangonanga ikoko .
Vachisvika pamusiwo vanoona gonhi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rakaita kunge rakavhurika zvishoma


vachibva vatoshaya kuti chii chaiitika .
Vakangozviudza kuti pamwe vaive
vakanganwa kuvhara door racho
kwakubva vakwenya mhuno
nekasiyamwa vachibva vapinda .
Vanoshamisika kuwana ichingova imba
isina chinhu vachibva vatobuda vonanga
kuimba yokubikira . Vakanowana
zvichingova źvimwechetezvo vachibva
vagara pasi vakabata musoro
nekupererwa . Vakatoziva kuti zvinoreva
kuti mai Rue vaive vaenda chete asi
chavasina kuziva ndechekuti vaive
vananga kupi chaiko ? .

Vakazosimuka pave paya vakabereka


maoko vakudzokera kumba
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachinyatsonzwa kuti simba chero


mumakumbo maive
musisina. Zverwendo rweBinga
zvakabva zvatokona nekuti simba
rekufamba chairo vaive
vasisina. Vainzwa kuda kuridza mhere
sekuru vaChido. Vaizvibvunza kuti seiko
zvinhu zvavo zvose zvichiramba ?
Vainyatsonzwa mwoyo wavo uchidzimba
zvisingaite .

Vanosvika kumba vobva vapinda


mubedroom umo mavakanowana mbuya
vaChido vasimo vachibva vaziva kuti
vaive varara mukitchen chete .
Vakazvinzwisisa chaizvo ndokubva
varara havo . Kwaingovewo kurarisa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nyama but hope hadzina kuuya husiku


hwese kusvika kwayedza . Vaive
vazviudza kuti vachamukira kupinda
munzira vachienda Binga but simba
vakamuka mumabvi musina .

Vanonovesa moto padare ndokugara


zvavo apo pavakabva vaona Achimwene
achiuya achifambisa but achiratidza kuti
aikamhina . Mufambiro wacho wega
waitongoona kuti waisave
werugare. Vakatoita zvokusimuka
chaiko vakutya kuti vaigona
kuzongotungwa nemusoro naAchimwene
vakadohhera muchoto.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" kwakanaka here Achimwene


kwamabva mafamba kunge
murikudzinganiswa Kudaro ?"
Vakabvunza kwakubva Achimwene
katanga kufemereka nehasha ." Mukaji
wangu alipi?" Kakabvunza Kasina kana
kukwazisa kwakubva sekuru vaChido
vati " ko munogobvunza ini muri imi
makaenda naye here ?"

"Handina kumboenda naye ini . Pane


munhu akandipfura nerekeni
ndokundirova mbabvu zvekuti dai
ndisina kutiza pamwe dai akandiuraya.
Ndipo paakasarira ipapo ndotiza
neupenyu hwangu " akapindura
kwakubva sekuru vaChido vapererwa.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Haana kumbodzoka pano uyu, ko


kwamupostori mambotarisa here pamwe
ndiye mupostori wacho akakupfurai ? "
vakadaro sekuru vaChido
vachitorevesa ." Haako kwamupostori
ndabvako . Ndasecha pose but ndashaya
zvichingoreva kuti aripano nekuti maive
magara musingadi naye " chakadaro
chichitambisa tambisa gumbo nehasha .

"Haiwawo undikwanire iwe, Sei uchida


kundijairira ? Ndirikukuudza kuti Chido
haapo pano saka unoda kuti
ndimuwanepi ? Uchingomisa iko
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kupfipika kunge kachidhoma"


Vakapindura nehasha sekuru vaChido
vakati vakwidza kagonye kehasha
kaachimwene . Akavava Achimwene
vachikandidzana mashoko nasekuru
vaChido. Vaona kuti kakuenderera
vanobva vamhanya kunotora bheura apo
Achimwene chakabva chasara
ndokunokora tsoka yavo kwakubva
chaisa mubhachi .

Pachakaona sekuru vaChido vachiuya


nedemo chinobva chatanga kumhanya
chichitiza chichisheedzera hanzi "
muchazviona chete , yangu mari
haiienderi mahara" chaingofamba
chichisheedzera izvo zvakazosiya sekuru
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaChido vasisina choice kunze


kwekutongoenda Binga . Vakazviudza
kuti uyu ndiye wavaizogadzirira size
chete . Freddy masolo vaifa zvavo
nekuseka vari mugota mavo.

Sekuru vaChido vanobva vapfeka


manyatera avo vachibva vatopinda
munzira vasina chero kuoneka. Vaida
kuti zuva rizodoka vafamba runhambo .
Anoti ave masikati vanobva vatanga
kunzwa gumbo ravo kubanda. Apo vaive
vafamba runhambo chairwo. Vakabva
vambogara Pasi vachifunga kuti pamwe
kwaive kuneta but hazvina kubatsira
nekuti gumbo raive rakutowedzera
kurwadza.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 42.

C H A P T E R 4 3

Carlton.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kumhiri ndakaenda hangu asi chaiveko


inyama chete nekuti pfungwa dzaive
kumusha kuna Rue wangu . Ndaive
ndamuda Ruvimbo zvekuti kuparadzana
naye zvairwadza. KuAmerica
ndaishanda hangu zvakanaka . Pabasa
munhu wese aindifarira handidi zvangu
kunyepa. Kunyanya boss chaivo vaindida
kuita sekuti ndakanguva ndashanda ini
ndaive ndichangosvikawo .

Chandaiedza nepose pandinogona napo


kwaive kuavoida vasikana nekuti vaiita
kuzvirasira pandiri zvavo but ini wangu
moyo waive wakasara naRue and umwe

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chete mwoyo wacho handina miviri .


Vazhinji vakatozopedzisira vofunga kuti
pamwe ndiri gay but ndaive ndisina basa
nazvo as long zvinhu zvarue
zvakachengeteka chete .

Kugara ndaigara kumba kwasahwira


sezvo aive aramba kuti ndinogara
kwangu ndega. Iye airenta full house
zvekuti rent yacho yaidhura . Ndicho
chinhu chandakaona chinodhura
kuAmerica ichocho . Dzimba dzaidhura
zvadzo handidi kunyepa .kwaigarika
zvako kumba kwaEddy nekuti chero
mudzimai wake anga akasununguka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mazuva achifamba nemwedzi


yaifambawo . Nababe wangu taingotaura
zvedu pafon achinditumira maphotos
edumbu richikura . Ndaibva ndanzwa
manyuku nyuku kuti ndini here Carl
ndakaisa vana avo mudumbu . Rue ndiye
aitove pahomescreen zvese newallpaper .
Kungovhura phone yangu chete
waitogamuchirwa nepic rake . Rudo
rwangu kumwanasikana wekwaDhuve
rwaikura everyday. Kufamba kwemazuva
ndiko kwaivawo kuwedzera kwerudo
rwangu kwaari .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chimwe chandakazonyanyofarira kwaive


kukumbira kwaive kwaita Kenny
ruregerero chero zvazvo ndaive ndisati
ndanyatsomuvimba . Chero iye Rue
ndakamuudza kuti forgive but don't trust
him . Hongu aive mwana wamai vangu
zvake but ndanga ndisisamuvimbe .
Ndaive ndaunganidza mari ndichiti
ndiunze mudzimai wangu
azosunungukira kuno but daddy
vakaramba vachiti nhumbu yekutanga
inoda vanhu vakuru uye
vachimudzidzisawo mabatirwo evana.
Chavaingondikurudzira chete kwaive
kuunganidza mari ndotsvaga pekugara
pakanaka then ndozovakwidza vouya but
vakati ndaitofanira kukwidzawo naKaren
ouya akabata umwe mwana . Handina

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

hangu chandakapokana nacho sezvo neni


ndaionawo kuti zvandaiudzwa zvaive
nemusoro .

Kwakati kwapera mwedzi mina ndave


pabasa ndakabva ndawedzerwa mari .
Zvinhu zvangu zvaifamba negwara
handidi kunyepa. Zvainyatsoratidza kuti
zvine makomborero mukati chaiko nekuti
chero mabatirwo andaiitwa naboss vangu
aive akatosiyana nemabatirwo aiitwa
vamwe vose . Handina kuziva kuti
izvozvo zvaive zvatondivengesa
nasahwira wangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kumba chaiko taive tisisatandari


zvataisimboita tichitaura dzekubasa .
Aive akutondiavoida chero kubasa
chaiko . Moziva kungogara pamba
pamunhu akangokutsamwira usingazive
kuti akatsamwirei zvinobhowa sei ? .
Seipapa ndaive ndakutoshaya zvekuita
nekuti chero mukadzi wacho akabva
akutanga kusandipakurira chikafu . Kuti
ndibvunze zvaive zvisingaite nekuti chero
ndaida kutaura naye Eddy wacho
aitoramba .

Veguhwa kubasa vaakaudza ndivo


vakazondiudza kuti hanzi aiti ndini
ndinokonzera kuti vasafarirwe naboss
nekuti ndinenge ndichinovataura
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakashata . Ugoona handina kana zuva


rimwechete randakambonyeya vamwe
vangu naboss . Zvisinei handina zvangu
chero kuda kumubvunza Eddy wacho .
Ndaimurespector seshamwari yangu uye
ndiye aive akanditsvagira basa saka
ndaifanira kuita zvose zvaanoda .

Chandakazongoita kwaive kungotsvaga


pekugara chinyarare ndichibva ndaudza
boss vangu vachibva vatoti
vaizondibhadharira rent . Ndaive
ndavaudza kubva zvandakasvika kuti
ndine mudzimai ane pamuviri saka
vaigara vachitondiudza kuti ndinofanira
kusevha mari nekuti vana vanodhura. I
think ndozvezvimwe zvakaita kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vandiwedzere mari chero zvazvo


kwandiri vakati ndeyekushanda nesimba
kwandinoita .

Pandakawana paive padiki zvapo asi


zvemunhu mumwechete paive
pakanaka . Mota ndaive ndatenga
yekufambisa ndichienda kubasa saka
ndakatoti ndichidzoka kubasa ndichibva
ndangonanga kunorongedza . Uyu Eddy
nemukadzi wake vaive vogara
vakazvivharira mubedroom ndofunga
ndaive ndotovashaisa rugare pamba
pavo . Ndinotoshaya kuti chaiita kuti
vasandiudze kuti hatichakudi pano chii
ivo vairatidza kuti uvepo hwangu
pamusha pavo hwanga hwakuvabhowa .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichipedza kurongedza zvinhu zvangu


ndakanoisa kumota . Ndakadzokera
ndokunocleaner muroom muya
kwakubva ndaenda padoor repabedroom
Pavo kwakubva ndagogodza.

"Urikudei ?" Ndiwo madaviriro aakaita


ndichibva ndamedza chibhonzo chaive
pahuro chekurwadziwa kwakuva ndati"
ndakuenda baba Nicole ndawana
pekugara , Gulez thank you
nekumbondichengetawo wena ndinotenda
chose ndichave ndichipota ndichiuya
kuzokuonai "ndakadaro ndichisheedzera
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndiri pamusiwo sezvo vaive vasina


kuvhura door kwakubva zvanzi naeddy
"ana Carlton dzungu rinokunetsai ,
unoenda kupi kwaunoziva nguva dzino ?
This is Dalas taxas Carl kwete Harare
kwawanga wajaira kugara uchiwokera
zvigure . Ukada kungwarira paduri
sehuku unofira mahara . Shuwa 4months
munhu ari muno wakuda kutozviita
unoziva nzvimbo . Tidzikamire apo
udzokere unorara uko . Handidi
zvekuzopiwa musengwa ini wafira muno
"

Aitoita kurutsa mashoko zvake Eddy .


Kutaura chokwadi ndakarwadziwa.
Ndakatoshaya kuti sahwira wangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

wandaive ndakajaira akaendepiko


kuchisara aive nemwoyo wakashata uyu .
Ugoona ndichangosvika ndakatomuzivisa
nezvekukonana kwangu nakenny achibva
atoti ndimupe nhamba dzaKeny
agozoedza kutaura naye . Chero zvose
zvaRue ndaive ndamuudzawo sasahwira
wangu ndichitofungidzira kuti
achandiseka or kunditarisira Pasi but
hazvina kuita sekudaro nekuti akatoti
chero naivo vaitozvionawo kuti paive
nechivanhu pandiri nekuti zvandaiita
zvaisave normal. Zvakangonakawo sei
tichingowirirana veduwe
ndokuzongondishandukira ndisina kana
zvandamuita .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Paakandipindura nyobvo dzake


ndakabva ndangobva pamusiwo
kwakubva ndabuda ndakuenda kumota
kwangu . Shuwa munhu angandidzikisire
zvakadaro kuti hanzi ndinofunga kuti
America iHarare yandakajaira kuona
zvigure. Chokwadi kuita sekunonzi
kuHarare kwachona hakusiwo kwavo ?
Ndaida kumbomupa nguva Eddy then
kana azodzokedzana ozondiudza
pandaive ndanyanya kumukanganisira
chaipo nekuti iyi nhau yakanzi aiti ndini
ndinoita kuti vasafarirwe naboss
ndakangoinzwawo nemakuhwa but iye
pachake aive asina kumbobvira
azvitaura. Akangotanga nekungondipa
cold shoulder tisina chero kutaudzana
mashoko .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pandakabuda akabva akutanga kufona


ndichibva ndaignowa foni . Ndanga
ndakusada hangu zvemashoko ndizvo
ndakasarudza kusadaira foni .
Ndakasvika paflat pandaive
ndabhadharirwa naboss vangu kwakubva
ndapinda mulift nezvinhu zvangu
ndakuenda kuroom kwangu . Chikafu
ndaizongoita zvetakeaway nekuti
ndaisatove chero poto zvayo. Ndakasvika
ndorongedza hangu sezvo maive nefitted
wardrobe ndokubva ndageza .
Ndichipedza ndakabva ndakutanga
kutaura zvangu nababe wangu nevideo
call.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takataura nguva yakareba


ndokuzodzima laptop ndakurara zvangu .
Mazuva akatevera ndaiedza nepose
pandinogona napo kuavoida Eddy . Taive
takutoita kunge vanhu vasingazivani
pabasa . Munhu wandakaudza
nezvenyaya yacho ndidaddy vachibva
vatonditi ndisiyane Naye achataura kana
oda. Hanzi arikuda kutora advantage
yekuti ndiye akakutsvagira basa kuti
ugare uchimunamata .

Vanhu vaigara vachiuya vachindiudza


zvose zvakashata zvaaigara achitaura
pamusoro pangu but handina kana zuva
rimwechete randakamubvunza . Zvose
zvekuti Ruvimbo mukadzi wengozi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakaudzwa zvekuti vamwe vaive vakutoti


pandinopfuura vanobva vatanga Kuseka
but handina kuda kumboita basa nazvo .
Mazuva aya chero kulunch ndaive
ndisisaendi nekuda kwekuti ndaive
ndisingade zvangu kukonana nevanhu .

Kwapera mwedzi miviri ndipo


pandakazoti ndichitove busy hangu
working ndiri muoffice mangu ndakabva
ndanzwa knock padoor kwakubva
ndadaira. Ndakashamisika kuona Eddy
achipinda ndikatoshaya kuti aidei sezvo
mwedzi mitatu yaive yapfuura iyi aitoita
kuvenga chero nepapfuura nemumvuri
wangu chaiwo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Asi hausi kuenda kulunch ?"


Akabvunza achigara pachair kwakubva
ndati " no " mazuva acho ndaive
ndakusatoziva chero nguva dzelunch
dzachaya nekuti ndaive ndakungogara
ndiri busy zvangu .

"Am sorry Carl my friend nemabatiro


andaikuita mwedzi yapfuura iyi .
Ndakateerera makuhwa kubva kuvanhu
kwakubva ndatotanga kukupa cold
shoulder ndisina chero kutaura newe .
You're my friend carl and no one will
ever take your place in my heart .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakamboedza kuda kutsvaga dzimwe


shamwari but ndakatadza . Ndiwe wega
munhu anondinzwisisa Carl please
forgive me " akadaro achipfugama pasi
achiombera nemisodzi ichiyerera .

Kutaura chokwadi ndakadzamirwa .


Paive pangofambawo mhepo zvapo but
Eddy aindida zvisiri zvekufungidzira
zvandaitozivawo neni. Ini aindida
kupfuura chero Evans chaiye nekuti
chero pakabuda mukana webasa
akatanga kufunga ini . Ndakasimuka
kubva pachair yangu kwakubva
ndanomusimudza mdokumbundirana
takadaro .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Only God knows how much l missed


you" ndakadaro ndichiseka kwakubva
nayewo asekawo ndokuti " ndini ndanga
ndiri wrong friend but l will make it up to
you, how about we throw a party
tichicelebrator kudzoka kweushamwari
hwedu ? Toitira kumba kwangu "
akadaro ndichibva ndati " zvinoita
wangu ko iwe pamafaro ndagara
ndokuzivaka" ndaidaro ndichiseka
kwakubva tambundirana neshamwari
yangu . Haaa ndakafara guys. Ukama
hwangu nasahwira wangu hwaive
hwadzoka .

Takatozoenda tese kulunch . Vanhu


vaitoshamisika vachitiona tichifamba tese
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tichitoita nyaya tichiseka . Party


takaronga kuti taizoiita weekend
yaitevera . Ndaive nemufaro
wakapamhidzirwa kani . Nyaya
yakandirwadza yaive yekuenda
kwemudzimai waEddy kumusha ndisina
kuziva. Ndaida kumupawo bhegi raive
nenhumbi dzevana vangu dzandaive
ndatenga . Zvisinei ndakati ndaizongoita
dzekuposter sekuronga kwandaive
ndagara ndaita .

Ugoti zvinhu zvacho kuita sezvinoshura .


Kubva zvandaregererana naEddy
naKenny aive otaurawo neni
zvakanyanya . Hongu aive akumbira
ruregerero hake ndikamuregerera but
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pafon aive asingambotauri zvekudaro .


Ini ndini ndaingogara ndichimutanga
zvekuti ndakatozopedzisira ndaora
mwoyo nekuti dzimwe nguva aigona
kungoverenga osiya zvakadaro . Zvino
apa ndiye aitonditanga ari iye . Ndakaona
shanduko hombe chaiyo paari ndikafara .
Chero achitaura zvaRue waingonzwa
zvichinzi maiguru . Chero zveparty
yataive taronga naEddy ndakamuudza
akatondikurudzira hanzi musazonyanye
kufarisa ikoko . Haiwa aingozvinetsa
hake nekuti chero doro racho
handimbonyanyi kurinwa ini

Zvisinei weekend yataive vakamirira


yakazosvika zvayo . Aive akatenga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

sahwira wangu . Ndaive ndatomboda


kumupa mari kuti awedzere but
akarambisisa achiti anoda kuita ega
nekuti party yacho was like a peace
offering zvino kuti ndibvise yangu mari
zvaive zvisingaite . Paive nemadoro
anodhura . Kana iri nyama yaive
isingazivani. Vanhu vekubasa ndivo
vazhinji vaivepo. Vekunze vaive
vakanyanya kuwanda aive mababe aive
akatozvishamira zvawo.

Vana Eddy vaive neshavi revakadzi ndivo


vaive vapinda havo machena kwete isu
ana Carl . Ini wangu Ruvimbo aive
akandikwanira ndaisada umwe . Umwe
wemawork mates angu anova ndiye
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aigara achindiudza makuhwa epabasa


akauya pandaive ndakagara ndichitonwa
zvangu whiskey yaive muclass kwakubva
andimhoresa kwakugara padivi pangu
achibva ati " ini party iyi handisi
kuivimba zvangu ini. Panogona pane
chiri kurongwa apa nekuti ndamboona
Eddy akamira naSally kuseri kwemba
uko vachinyevezerana . Hameno hazvo
pamwe kungofungirawo zvisizvo but
hana yangu haina kugadzikana nekuti
chero pafon chaipo Eddy haasi kubva "

Akadaro ndichibva ndati " relax Ronny ,


Eddy is not a bad person unomboziva?
Kwatakabva ndiko kwave kure
nemuchinda uyo zvekuti haangambofungi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvekundibetrayer nhasi . Iwe fara


nevamwe chete urege kufunga
zvakawanda " ndakadaro achibva
agutsurira hake musoro but airatidza
kushungurudzika. Aindida mupfana
wacho kuita sekuti ndiri hama yake
chaiyo .

"But musanyanye kudhakwa nekuti ini


zvangu l don't trust Sally, anogona
kuzongokutorerai advantage sezvo agara
achikudai " akadaro ndichibva
ndabvuma. Zvechokwadi ainetsa Sally
zvekuti kuti atozosiyana neni ndaive
ndatoita zvekumuitira hasha . Kunaka
aive akanakisa handidi kushora . Chero
body yake chaiyo aiita kunge model
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaiyo plus anga akadzidza but handina


kana kumbobvira ndamuchiva ini .
Munhu aingorovesa hana yangu ndiRue
chete.

Party yakachizotanga kunakidza zvino


vanhu vakutamba radio. Sally haana
kumbobvira aswedera kwandiri
ndinganyepa . Doro ndaingoita
rekuvigirwa nasahwira wangu negirazi.
Ronny akaoneka achiti kwadoka achibva
aenda hake . Vanhu vakasara vachifara
zvekuti umwe neumwe aive ave newake
kusara kwangu chete . Girazi
randakazopiwa kekupedzisira ndiro
rakazondidhaka zvekuti chero kusvinura
ndaive ndakutadza . Chandakapedzisira
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kuziva kuona ndichisimudzwa naEddy


naSally vachienda neni .

Kubva ipapo handina chimwe


chandakazoziva kusvikira kwayedza apo
pandakamuka ndichirwadziwa
nemusoro . Ndaitadza chero kumutsa
musoro zvekuti ndaiita kunge munhu
akarohwa nedanda .
Ndakazozvimanikidza ndichibva
ndamuka ndokugara apo
pandakavhunduka ndichiwana ndisina
kupfeka . Ndakavhunduka ndichitarisa
padivi pangu kwakuona sally akatofawo
zvake nehope asina kupfeka .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakarohwa nehana ndichimhanyira


kutarisa kuna junior kuti aive ashanda
here kwakuona kuti aive ashanda kwete
zvekufungidzira . Ndakapererwa hama
dzangu. Ndakabva ndamutsa Sally
zvehasha ndichimurova kwakubva
amukawo naye achivhiringika kwakubva
aimbongomora mhere achiti
ndakamubata chibharo . Mhere yake
yakamutsawo Eddy achibva amhanyawo
achiuya . Anosvika achimhanya pana
Sally achiti " chii Sally waitwa sei ?"

" Carl andibata Eddy ndisheedzerewo


mapurisa. Akanditorera advantage

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yekuti ndaive ndadhakwa kwakubva


andibata " akadaro achiwedzera
kuchema . Zvino ini ndaive ndachipusa .
Ndaiedza kurangarira kuti chii
chakaitika but ndaitadza kana kuziva .

"Ko wakazviitirei nhai Carl ?


Unomboziva here kuti akakusungisa
unofira mujere kuno ? Saka uchaita sei
ipapa ?" Akadaro nehasha Eddie
ndichibva ndati " handisi kutombozivawo
Eddy kuti zvakafamba sei please believe
me . Unonyatsoziva iwe kuti kubva kare
ndichimuramba Sally uyu handimudi ini.
Please ndokumbirawo utaure naye
asandisungisewo ndomubhadhara
hangu"
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakadaro ndakutochema ini . Ndaiti


ndikafunga mashoko ese andaive
ndavimbisa Rue kuti handife ndakarara
neumwe munhu asiri iye ndaibva
ndanzwa sekuti mwoyo wangu wabaiwa
nepfumo. Worse nekuzoendeswa kujere
apo ndichiti ndakauya kubasa . Yaaa apa
ndipo pandakabvuma zvangu kuti mhepo
dzinotenderera. Uyu Sally aive abuda
achingochema akashama . Iko chero
kusanyara Eddy nhaimi kuita sekuti
vaive vakajaira kuonana vakashama
nekuti chero iye Eddy wacho airatidza
kusatove nebasa nazvo zvekushama
kwaSally.Pandakamukumbira kuti
vanotaura naye akangosiya aridza
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tsamwa ndokubva abuda.


Ndakanyatsoona kubhowekana Kwake
kwese. Akazodzoka pave paya ndichiri
ndakangogara mumachira pfungwa
dzirikure achibva ati " ndataura naye
Sally ,ati kuti asakusungise unotofanira
kumuroora "

Hama dzangu ndakapererwa zvekushaya


kana remuromo . Ndisati ndapindura
ndakabva ndanzwa foni yangu ichirira
ndokutarisa ndichibva ndaona ari Rue.
Aive asati akambozviita zvekufona izvi
kwaitove kutanga saka
zvakatondivhundutsa.Ndakuda kudaira
yakabva yadimbuka ipapo ipapo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakubva kwapinda text massage yaive


yakanzi "vhura WhatsApp yako "

Ndakabva ndavhura nekukasika hana


ichirovera mumukanwa ndokuita
sendichapera mweya ndichiona sex video
rangu naSally pazasi pachibva pateera
massage yaive yakanzi " wandirwadzisa
Carl but hazvina hazvo mhosva it's over "

End of chapter 43.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 4

Ruvimbo.

Kuenda kwakaita Carlton kubasa


mazuva ekutanga zvakambondiomera
semunhu wandaive ndajaira but kuenda
nekuenda ndaive
ndakujaira. Chainyanya kuzondipa
runyararo mumwoyo mangu yaive nhau
yekuti ndaitaura naye nevideo call
everyday . Ndainyatsoona kuti ndinodiwa
kwete zvekufungidzira . Zvikati
aiwedzera runako Carl wangu nekuti
chero complexion yake chaiyo yaive
yachinja zvakanyanya .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaigara ndichizvirova dundundu kuti


ndini here ndirikudanana nehandsome
iyi ? . Manakiro aaive aita ndaive
ndakutotyira kuti aigona kupinda
pamuyedzo nevakadzi nekuti aindiudza
kuti vanotovapo vakadzi vekumusha
pabasa pavo. Pacompany pavo
painyanya kushanda maforeingners
hameno kuda vakaona kuti ndivo
mahardworkers.

Teacher aindidzidzisa aiuya mazuva ese


kusara kwemaweekends chete .
Ndaitongoitawo sevamwe vana vechikoro
nekuti ndaitotangawo na8am ndotoitawo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

break nelunch ndotodzidza kusvika


kwadoka . Mama vaive
vasingambonyanyi kuvapo vanenge vari
kuAvondale but pavakazoona kuti mama
vacho havabatiki nenhau yekuti vanogara
vari busy nekutengesa navo vakabva
vakumbira daddy kuvhurirwawo Saloon
mutown . Avaka havaizofananidzwa
nanamai Rue vekuti vaive vasina varume
vane mari vekuti unongotangira
pamusoro . Ana mai Rue kwaitongove
kutangira kumaveggie nekuti ndiko
kwaienderana nemari yavo.

Chandakanyanya kufarira pana mai


vangu kwaive kushanda nesimba . Chero
daddy chaivo ndakanzwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachivayemura , ndofunga ndizvo


zvakazopawo mama shungu dzekuitawo
zvavo nekuti nguva yese vaingove house
wife. Mama kubva zvavatanga zvefish
havana chero kuzomboda kubhadharirwa
chero school fees yevana . Vaive voita
zvese voga and l was proud of her nekuti
chero imba yemukwasha wavo
vaiichengengeta zvakanaka fani .

Maveggie ekudya pamba vaive vadyara


kuseri zvese nemadomas . Chokwadi
havana kuda kundinyadzisa mai vangu .
Carl paakazombovatumira $1000us
vakabva vatotanga zvemalayers . Huku
dzacho vaive vakadzigadzirira shade
mugarden vachibva vaisa fance. Vaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vatanga ne50 but dzaive dzisati


dzakunyatsokandira hanzo nekuti pazuva
vaigona kuwana kana mazai 18 . Ekuti
ivo nesu tidye aivepo but ekutengesa
ndiwo anga asati avapo .

Chandainyanya kudira mai vangu vaive


vasinganetsi vanhu nekuti chero chikafu
chehuku vaitohire kombi kuti ivaendese
kumba but vachinyatsoziva kuti daddy
vaiswera mutown kubasa kwavo apo
vachifamba nebakkie but havana kana
zuva rimwechete ravakavafonera vachiti
vanokumbirawo vavabatsireiwo.
Ndainzwa kufara chaiko nekuti
ndakanyatsoona kuti vaive responsible.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvisinei mazuva akafamba zvawo apo


nekadumbu kangu kaive
kakubudikurawo .papera mwedzi mina
Carl aenda Kenny ndipo paakadzoka
pamba achizokumbira ruregerero . Umm
zvaisiririsa hama dzangu nekuti aiita
kuchema akapfugama pasi nemabvi
akabata tsoka dzababa vake.
Vakambotanga vachiramba daddy but
mama vakazovanyengetedza ndofunga
vaive vabatwa nemwoyo wekubereka
nekuti zvechokwadi aive onzwisa tsitsi .
Chero kwandiri akauya akakumbirawo
ruregerero akapfugama ndichibva
ndamuregerera ini but kumuvimba

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaive ndisingazomuvimbe zvekudaro


hangu .

Daddy vakamuudza kuti kana aizoita


zvinhu zvisina musoro vaizomudzinga
zvachose like disowning him but
akavimbisa kuti zvese izvozvo
hazvaizoitika nekuti he will be a good
boy . Kuregererwa kwaakaitwa akabva
atodzoka kuzogara pamba . Ndofunga
aive asina kujaira kugara kure nefamily
yake . Anga ave munhu Kenny handidi
zvangu kunyepa. Ndakatanga
ndisingamuvimbi but kuenda nekuenda
ndakapedzisira ndomuvimba nekuti aive
achinja zvekurevesa . Taive
takutosheedzana maiguru nabamunini .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sometimes kana asiri busy zvakanyanya


ndiye aitombondibatsira zvechikoro .
Takave close zvekuti ndega
ndakachizonyatsoona kuti paive
pangofambawo zvapo satani but Kenny
aive munhu bhoo zvekuti. Achibva
kubasa aisauya asina kunditakurirawo
chocolate . Hongu Carl ainditumira mari
yekuti nditenge zvimanice nice but ndaive
ndisingatoishandisi nekuti Kenny
aindiitira zvakawanda .

Shelly ndiye akazombouya achiti Kenny


aive akamublocker pafon but
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akatodzingwa sembwa naKenny wacho.


Ndakatomboedza kumunyengetedza kuti
vadzokerane but ndakatozopedzisira
ndanzi budai mazviri maiguru . Iye aiti
aive awana Shelly akarara neumwe
mukomana mumba saka apa hanzi aive
oedza kunyengerera . Ndisingazivi hangu
kuti chaive chokwadi here nekuti
pazvakaitika taive tisipo.

Rimwe zuva ari masikati ndakazoona


Kenny achisvika achibva kubasa ane
umwe waaiti ishamwari yake. Guys
kuzvitaura ndinogona kuita kunge
ndabatwa neruchiva but munhu aive
akanaka iyeye. Moziva chero
pandakamutarisa hana yangu yakarova
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvisingaite . Uyu munakiro waisatove


normal nekuti chero paakauya pedyo
neni achizondimhoresa apo akaruma
muromo wepazasi zviya zviri seductive
ndakabva ndatonzwa kutota kuzasi
kwangu apo hanaichirova zvisina kana
ani akamboona . Ndakatoshaya kuti chii
chaizvo chaiitika pandiri? Kusvika
kwaakaita pedyo neni ndakanzwa
kupererwa nemweya wekufema chaiwo .

"Hie cutie, you're so beautiful " aidaro


achisekerera but chero nemuromo
ndakarishaya ndakutonzwa kupera
simba .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Juma usadaro maiguru vangu shaa ,


hausi kuona kuti wavaisa panguva
yakaoma here ?" Akadaro Kenny
achiseka kwakubva Juma wacho asekawo
ndokuti " una maiguru zvakanaka shaa,
apa mukoma vachenjere kuwana
takuchengeta vana " akapedzisa achidaro
achinogara pasofa kwakubva Kenny
angoseka . Ini ndakabva ndatobuda
musitting room ndakuenda kubedroom
kwangu nekuti presence yemukomana
uyu yaindishaisa rugare. Pandakabuda
ndakavanzwa vachiseka naKenny
vachirovana maoko. Ndakatoshaya kuti
vaive vanakidzwa nei kudaro ini.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Iyewo Kenny hamenowo chaive


chakonzera kuti adzoke masikati kumba
nekuti aive asati ambozviita . Ndichipinda
mubedroom mangu ndakabva
ndazvidonhedzera pamubhedha
ndokubva ndavhara maziso angu
ndichida kuedza kubvisa mr handsome
mupfungwa dzangu but zvairamba.
Mumaziso mangu chaimo ndiye
aingovemo . Ndakazvirova rova musoro
ndichizviyeuchidza kuti Ruvimbo
dzikama Carl arikuAmerica asi
zvairamba kubva mumaziso angu .
Ndakamboedza kupfugama kuti
ndinamate but ndakangonzwa
kubhowekana ini ndokubva ndagara
pabed .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakazongobatwa nehope ndiri busy


kufunga mukomana uya zvekuti chero
pavakazoenda handina kuvanzwa . Zuva
iri teacher vangu vaive vasina kuuya
vachiti vaive vane vaenzi saka ndaingove
ndega pamba . Ndaida kuzozviudza tete
kana adzoka kuchikoro but
ndakazongosarudza kuzvinyarara
hangu . Mazuva akatevera aive
akungogara achidzoka naye Kenny
zvekuti ndakapedzisira ndakutomujaira.
Chero nhamba dzefon akakumbira
ndichibva ndamupa hangu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

He was friendly zvekuti but


chaindishamisa ndechekuti aive
asingauye ana mama varipo . Carl
handina kumbomuudzawo nezvazvo kuti
pane friend yaKenny irikugara ichiuya
pamba . Mazuva akatevera acho aive
akutoita achindivigira tumanice . Plus
chimwe chandainyanya kufarira
ainhuwirira sacarl exactly zvekuti ndaive
ndakutofarira kugara ndiri pedyo naye.
Taive tatove neushamwari hwakasimba
nekuti chero pafoni taive totaura
zvakanyanya .

Kwapera six months ndipo pandakazoti


ndakarara zvangu sezvo yaive weekend
ndichitova busy kutaura naJuma hangu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

paapp .Ndakabva ndaona fon yangu


ichipinda massage nenhamba
dzekuAmerica but ndakangofunga kuti
pamwe ndiCarl aive ashandisa imwe
nhamba. Ndakavhura massage iya
ndokubva ndaona kuti aive atumira
video . Ndakasekerera ndichidownloader
nekuti ndakangozviudza kuti raive video
reparty yavaive nayo kumba
kweshamwari yake nezuro wacho .

Ndichivhura ndakarohwa nehana


ndichiona iri sex video Carl akagarirwa
nemusikana aive akanaka kunge ngirozi.
Ndakanzwa mwoyo wangu uchitsemuka
nepakati kwakubva ndairidza mhere .
Munhu akatanga kupinda achimhanya
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndiKenny achibva angosvika achimhanya


kutora fon . Ndakatoshaya kuti akaziva
sei kuti ndaive ndachemedzwa
nezvandaive ndaona mufon but handina
hangu kubvunza.

"Ko carl zvaanopenga " akadaro


akangotarisa video riya ini
ndichingochema . Chokwadi apa ndipo
pandakanyatsoona kuti vairevesa havo
vaya vakati usavimbe nemunhu . Carl
nezvaaindivimbisa ndaive ndisina
kumbobvira ndafungira kuti angandiitire
zvakadaro ini . Iko kundirevera nhema
achiti munhu akaita blood covenant kana
akarara neumwe munhu
anokuvara, achida kundiita benzi rake .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chokwadi ndakanzwa kuvenga Carl


nemwoyo wangu wese .

Zuva iri ndiro pandakanyatsoona kuti


Kenny aitaura chokwadi paaiti Carl
achandisiya achienda kuvakadzi
varinani . Hongu zvakaita segodo
pakutanga but Kenny airevesa .
Ndakatodemba kuti dai ndakangoteerera
kubva ipo paya pasina zvese izvi. Carl
aive muroyi chaiye.

Kenny akauya ndokundimbundira


achiedza kundinyaradza . "Am sorry
maiguru " aidaro achindipuruzira bvudzi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

rangu . Ndakaramba ndichichema


zvekuti mama vakapedzisira vakauya .

"Ko zvaita sei nhai mai Cassie ?


Vakabvunza ndichibva ndatadza kana
kupindura ini ndichingochema . Vakabva
vabvunza Kenny achibva ati " hameno
zvavaona mufoni umo "

"Munei mufon my baby?" Vakabvunza


zvakare but wavaibvunza ndipo paive
pasina nekuti ndaisatokwanisa chero
kutaura ini . Vakabva vangobudawo vese
naKenny ndokungondisiya ndichichema .
Kenny ndiye airatidza kundinzwira tsitsi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaidzo. Vachibuda ndakabva ndatora


fon yangu ndichida kuedza kufonera
mama kuti vauye vazonditora but
kutaura chaiko ndakatadza . Ndaive
neshungu dzakawandisa zvekuti fon
yakapedzisira yapera airtime ndisina
zvandataura.

Ndakamusendera video riya pamwe


nekumuudza kuti iye neni zvaive zvapera
and ndaitorevesa . Ngaaite zvevasikana
vake ikoko . Ndaive ndisisadi kana
kumuona. Ndaida kutonoudza mama kuti
vatsvage imba yekurenta sezvo business
ravo raifamba vabve pamba
pacarl. Ndaive ndisisadi
zvinondisanganisa nemhuri iyi . Mama
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakauya vachindiudza kuti mama vanga


vakutosiya kutengesa vachiuya kuno but
Vaiti vavarambidza. Zvino zvepamba
pavo ndanga ndakusada.

Ndakatozonyarara ave masikati chaiwo


apo Carl ndaive ndamublocker . Sezvo
mazuva aya ndaive ndakutaura naJuma
pafon ndakabva ndamusendera video
riya kwakubva ndanyora kuti "
ndionerewo hako mashura "

"Ndiye Carl wacho here uyo ?"


Akabvunza ndichibva ndati " ndiye shaa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndabaiwa panyama nhete. Ndaimuda


munhu uyu "

" zvoreva kuti waidanana wega nguva


yese iyi. Haana kana basa newe uyo zvino
achawana isu ana Roy tamutorera zvedu
"akadaro ndichibva ndangoisa
tumalughing emojis kwakubva online
ndichibva ndadzima fon yangu .
Ndichangoidzima Karen anobva apinda
akabata fon yake achiti " makoti
mukoma Carl varikukumbirawo kutaura
newe , hanzi ndinogona kuenda kujeri
saka varikuda kuexplaina mafambiro
akaita nyaya"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Handisi kuda kutaura naCarlton


Karen . Muudze kuti hanzi neni damn
you " ndakapindura zvehasha kwakubva
ati " please maiguru, varikuchema
zvinonzwisa tsitsi please hear him out "
ndakarambisisa ini ndikamudzinga
sembwa muroom mangu. Nxaa
kuexplaina chii zvinhu zvingori pachena ?
Imbwa yemunhu Carl.

End of chapter 44.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 5
Narration.

Sekuru vaChido zvavakanzwa gumbo


ropisa kunge rakatsika pamusoro
pemarasha vanobva vambogara pasi .
Vakabvisa nyatera kwakubva vatanga
kuripuruzira pazasi vachifunga kuti
pamwe kwaive kungopisawo kwekuti
vaive vafamba zuva richipisa but
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaivanetsa zvakare yaive nhau yekuti ko


sei rimwe raisapisawo ?

Vakambotanga vachashingirira asi


gumbo rakati unonyepa ndokubva
vatoona kuti vaigona kuzogomberwa vari
munzira zvikazovanetsa . Vanobva
vazvimanikidza kusimuka kuti vafambe
asi gumbo raive ropisa
zvekurevesa. Vakafunga rwendo
rweBinga rwaida mazuva maviri
uchifamba kuti usvikeko nepavaive pacho
pakota pekwavaive vabva vachibva
vatoona kuti paive pasina neimwe nzira
kunze kwekutongodzokera kumba .
Chinhu chainyanya kurwadza kwaive
kusabudirira kwerwendo rwavo.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Rwendo rweBinga rwaive


rwakavakoshera zvakanyanya nekuti
vaiziva kuti zvizhinji zvaifanira
kunogadziriswa ikoko . Nhau yaRuvimbo
yaifanira kunogadziriswa kuBinga kozoti
nhau yechipoko cheHarare chainzi
chirikuvatevera . Achimwene aifanira
kukwanawo ipapo kuchizopedzisira
mupostori . Zvino zvaive zvoitika apa
zvaive zvakuvadzosera shure
zvakanyanya .

Vanobva vatanga kunanaira vatarisa


kwavaive vabva nemwoyo wakaputsika .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Gumbo raive rorema kuita kunge


vakatakura duri chairo . Vanobva
vabvisa nyatera kwakutanga kutsika
nepasi chaipo asi zvaitoita kunge
zvirikuita worse . Kwaive kwangove
kushinga kwemurume hako asi
vairwadziwa. Havana
kwavakambofamba vakasvika vaive
vatogara pasi voyuwira negumbo . Vaiti
vakafunga kuti kumba kwavo kwaive
kusina chero ngoro zvayo yekuti chero
vaifona kuti huyai munditakurewo vaibva
vawedzera kupererwa. Vakagara
panzvimbo imwechete vachiyuwira nawo
marwadzo kusvika kwakuda kutodoka
ndokuzoyamurwa neimwewo ngoro
yaienda kugrowth point yokwavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanhu vacho vaive vatongonzwawo tsitsi


vaona murume mukuru achigwesha
nemagadziko akabata gumbo richiratidza
kuti rairwadza chaizvo . Vanhu vaMwari
nerudo rwavo rwakakura kunge gungwa
vakaperekedza sekuru vaChido
kunovasiya pamba chaipo . Vaive
vasiririswa nekuchema kwavaiita
munzira . Haisi nyore veduwe kuona
murume mukuru achibuda misodzi.

Vanhu pamba vakati vachivaona


vakangokatyamara asi hapana
akabvunza . Uyo waitove mutemo wavo
sekuru vaChido kuti vaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vasingabvunzwe kuti manga maendepi?


Uye chero kuoneka vachibuda pamba
vaive vasingaite. Mutemo wavo waive
wekuti baba havabvunzwe pamba vanoita
zvavanoda .

Freddy akavabatsira kuvaisa muimba


yokubikira achibva atobuda .chero
kubvunza chaiko kuti murikunzwei
haana . Ko aigobvunzirei hake iye aitove
nerimwe basa raSolo uyo aive asatiwo ave
kuona . Aive akavagumbukira zvakaipa
zvekuti chero kuvabatsira kupinda
mumba akangoita hake zvekunyara
vaenzi but aive asingade. Aiti akafunga
kuti izvozvi takunonoka kudzokera
kubasa nekuda kwenyoka yavo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yakapofumadza Solo aiita seachatakura


bhemba akanovadimbura huro.

"Nditovewo gumbo rangu nemvura


inotonhora Masivanda ndanzwa nekutsva
" vakadaro sekuru vaChido vofemera
pamusoro sendere. Vainzwa sokuti
mweya wavo wasara zvishoma kuti
uende . Ugoona munhu anouraya vamwe
kutya kufa kwaanoita , sekuru vaChido
vaive voti " Mwari dai
mambondinzwirawo tsitsi zvishoma
mandipawo amwe makore ekurarama
panyika . Moda kuti ndifewo here ndisina
kuona chizukuru changu chimwana
chachido ? " mbuya vaChido vakasvotwa
kusvika pekupedzisira. Chokwadi
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

munhu angachemera kuona mwana


waChido apo vazukuru vavo chaivo vana
vaTiri vaiveko kuKadoma uko vasina
chero kumboita basa nekuti sei vasina
kumbouya kunhamo zvese nemudzimai
wacho .

Kungoti hazvo chisina kunge


chazikanwa nambuya vaChindo
ndechekuti mudzimai waTiri aive atorega
kuuya kunhamo maune. Mukadzi uyu
ainamata chechi yemasowe saka kuchechi
kwavo ndiko kwaaigara achiudzwa
nezveurombwa hwababa vemurume
wake . Ndiye akatopa Freddy naSolo
shungu dzekufamba vachinzwawo kuti sei
upenyu hwavo hwaingoramba humire
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

panzvimbo imwechete . Akatozotaura


navo mushure mekunge iye
atomboporofitwa nezvazvo asi aive atya
kuvaudza ndokungovakurudzira kuenda
achida kuti vanozvinzwira .

Mukadzi uyu naTiri vaive


vangosanganawo kuKadoma ikoko
achiita zvekubika sadza achitengesera
makorokoza . Vakataurirana
ndokuwirirana kusvika vakutogara vese .
Vaive vatove nevana vaviri vakomana
vese but kuGokwe kwanaTiri vaive vasati
vambosvikako . Ivo sekuru nambuya
vaChido vaingoita zvekutaura navo
pafoni vasina kumbobvira vakaonana
pachiso.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvino kuzofa kwakaita murume wake


apo atomboudzwa nezvazvo kuti zviri
kubva kumusha kwavo chero kunhamo
akati handiendi . Vakatomboedza Freddy
naSolo kuti tipei vana vanoona
parikunochengeterwa baba vavo asi
mukadzi akarambisisa . Saka hameno
kuti mbuya vaChido vaida kuti sekuru
vaChido vaitewo sei pakadaro.
Vaitongofarira muzukuru iyeye aripo
nekuti ndiye wavanoziva.
Vakazongotorawo mvura inotonhora
vonyika gumbo racho nekuti vaive
vatoona kuti murume wavo airwadziwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mazuva akafamba zvawo uye Solo aive


akuonerawo pedyo . Freddy akatoona
kuti zvaive zvisingaite kuti adzokere naye
kuKadoma asatiAave kunyatsoona
kudaro saka akabva adzokera iye
ndokusiya amuvimbisa kuti aizove
achidzoka kuzomuonawo . Solo hapana
chaakambopikisawo . Aiziva kuti Freddy
aimuda saka hapana paaizombotambura
aripo .

Sekuru vaChido ngoma yaingova ndiyo


ndiyo . Vanhu vose vaive voziva kuti
vanonzwa gumbo nekuda kwekuvovora
kwavaiita munguva dzeusiku .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vaisadzikotsira kusvika kwayedza .


Zvekurwadza kwegumbo zvakazosvikawo
nemunzeve dzaAchimwene achibva atofa
zvake nekuseka achiti" hausati watanga,
yangu mari haienderi mahara " ivo
sekuru vaChido vaigara vachizvibvunza
kuti sei Achimwene kubva
zvavamudzingira nedemo asina
kuzombobvira adzoka ? Izvi zvaivanetsa
samare nekuti vainyatsoziva kuti paive
nechinodaro chete.

Vakambofunga kuti vati zvimwe ndiye


aive avaroya but zvakavarambira nekuti
gumbo rakatanga kuvarwadza zuva
rimwechete ravamudzinganisa nedemo .
Uye chimwe chavaiziva ndechekuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaisafamba vasina kupfeka nyatera saka


zvekuti vafungire kuti ndiachimwene
akavakanda zvakavarambira .
Kutokanganwa zvavo kuti zuva rasvika
Achimwene pamba pavo vaive vagere
pamoto vasina shangu mutsoka.

Mwedzi yakatofamba munhu waMwari


achiyaura negumbo zvekuti mbuya
vaChido vakatozoguma vafunga
zvokuvaendesa kuchipatara . Ivowo kuti
varambe nemarwadzo avainzwa vakaona
zvisingaite nekuti vaingozviudza kuti
pamwe kuchipatara vaigona kurirapa
rikapora. Murume mukuru aive apera
tariro . Upenyu hunoenda kure chaiko
vakanyatsoona kuti hwaive husisipo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Gumbo raive rasviba kuita kunge chimwe


chinhu apo rakazvimba richipenya .
Chokwadi apa chero wairoya zvakadii
wainzwa tsitsi . N'anga yavo sekuru
Chiwara yaive yakutorwarawo
nepfungwa zvekurevesa zvekuti aive
angove munhu wekufamba nenzira .

Solo maziso akazonaka achibva atumirwa


mari naFreddy kwakubva aendawo
ndokunonyarara kuti zii variko
vasingafoni. Ivo mbuya vaChido
vaitomboedza kuvafonera vachida
nhamba dzamadzibaba wekuuraya
kazongo kuti auye arape murume wavo
but vaisawananikwa pamafoni kusvika
vatozongofunga zvechipatara .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kuchipatara vakangosvika vachinzi


gumbo raive raora zvekuti paive pasisina
dzimwe plan kunze kwekutongoti
ridimburwe . Sekuru vaChido vakaudzwa
asi nekuda kwemarwadzo vakatoona kuti
zvaive nani chose kuti vadimbure
vazorore marwadzo avainzwa aya .
Muviri waive wangove pabhonzo zvawo
nekuda kwekuwonda .

Mbuya vaChido vakatozoita zvekufonera


mukadzi waTiri anova ndiye akazotaura
nana Freddy achivaudza kuti kwaidiwa
mari yekuti baba vadimburwe gumbo
yakaita se$200 . Iyo vakaibvisa
vakasununguka nekuti Vaiti kana
vanenge vasisina rimwe gumbo hapana
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwavaizombofamba vachienda vachiti


vanonotsvaga hurombwa . Solo ndiye
akazobvisa shoma nekuda kwekuti aive
atumirawo Chido mari uyo aive
akumbira achiti aida kutenga sipo
yokuwachira mwana wake manapukeni
vasingazive kuti aitoda mari yekuti
adzokere kwaTavengwa wake . Aive
asununguka chimwana chake chisikana
achibva afonera baba vacho vachibva
vamuudza kuti ngaadzoke nemwana
wavo nekuti havana mwana anokurira
musango ivo vachiri vapenyu .

Zvaachimwene akangovimbiswa kuti


unowana ndazvigadzirisa saka
kutumirwa kwaakaitwa mari akabva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

atorongedza ndokubva achiita zvekutiza


ave kudzokera kuna Mupostori wake .
Sekuru vaChido vakazodimburwa gumbo
ndokumbogara kwemavhiki maviri
kuchipatara madhokotera achimonita
gumbo ravo kusvika vazoona kuti
iyezvino vakukodzera kuti vachienda
zvavo kumba vachibva vaburitswa.
Zvechokwadi marwadzo aive asisipo
akanyanya but vairwadziwa kuti vaive
vasisakwanisi kufamba vachienda
kwavanoda .

Senhau yeBinga Vaiti vakaifunga


vaichema zvisingabviri . Zvino
vaizokusvikirwa nani nechidimbu
chegumbo ichocho . Vaive vongoswera
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pamba pasisina Kumwe kunoendwa.


Chero kundari chaiko kwaive
kusisaendeki . Vaiti kana vanenge
vachida doro vaitokumbira chimwana
chemuvakidzani wavo chonovatengera
nechigubhu .

Rimwe zuva vakatogara havo pasi


pemumvuri wavo wemuzhanje vanobva
vaona mudzimai wavo achisvika
achifambisa achiratidza kuti aive
nenyaya . Mbuya vaChido vanosvika
vogara pasi votura mafemo ndokuti "
zvakaoma sekuru vaChido. Kunonzi
Achimwene akatsvira mumba madeko.
Hanzi anofanira kunge akashinhwa
nokuti zvinonzi door ranga rakasungwa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

newaya panze zvinova zvakakonzera kuti


atadze kuvhura . Vavakidzani
vakatowana munhu afa pavakauya
vachibatsira kuzodzima moto "

Vairatidza kurwadziwa chose mbuya


vaChido but murume wavo akatofara
kuti ndazorora kunetswa . Akabva
atopindura asina kana hanya hanzi "
kana afa atofa wanga uchida kuti kufe
ani ?" Mbuya vaChido vaona vajinyurwa
vakabva vangosimuka vopinda muimba
yokubikira vachitoshamiswa nehunhu
hwemurume wavo .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kubva zvashaika Achimwene pakangoita


mazuva anokwana mashanu ndokubva
vatoona kuchisvika sadombo achiti aive
auya kuzosheedzera Chido
kwaMupostori . Mbuya nasekuru
vaChido vakapererwa kushaya kana
zvekuita . Vaizvibvunza kuti saka pose
apa Chido aive kwamupostori akavigwa
hake vachimirira kuti Achimwene atange
afa ? Apo munyai wacho aive atouya
kuzosheedzera nejongwe hake achiti
mukwasha haana mari . Sekuru vaChido
vakarwadziwa vakashaya pekuisa
mwoyo .

End of chapter 45.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 6

Carlton .

" Am giving you only 20minutes


dzekumbofunga Carl ndozodzoka
ndonzwa zvaunenge wafunga" akadaro
Eddy achibuda kwakubva asiya avhara
door . Chokwadi maitiro acho kuita
sekuti ndiye aive atotadzirwa . Pane kuti
amire neni shamwari yake aive akutotora
side raSally. Moyo wangu waiita kunge
wabaiwa nepfumo. Zvekuita chaizvo
ndaive ndisisazvizive . Ndakabvisa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

gumbeze randaive ndakazvivhara naro


kwakubva ndatarisa junior.

Ndaida kunyatsoona kuti zveshuwa


ndaive ndaita bonde here nekuti hapana
pandaizorara nemunhu ndotadza kuziva .
Ndakabata ndokubva ndatanga
kuongorora . Uhu hwaitoita kunge
hurume hwandaive ndatoita zvekuzorwa
chaiko nekuti dai zvaive zvekubva
mumukadzi zvaionekwa . Ko apa ndaive
ndakuzivawozve kuti chii chinoitika kana
munhu warara nemukadzi . Ko hanty
naRue taimboti kana taneta nekutamba
taingorara here tisina kugeza. Saka
zvandaimuka ndiri mangwana acho

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndaizviziva uye hazvisi izvo zvandaive


ndakaita apa .

Kutaura chokwadi ndakanyatsoona kuti


ndinenge ndaive ndatambwa yakapenga
apa . Ndakatora fon yangu ndokubva
ndavhura video riya randaive
ndatumirwa naRue . Sally ndiye aitove
pamusoro pangu achiratidza kuti ari
munyika yake ega but ini ndaive
ndisingazununguke . Chero maziso angu
chaiwo ainyatsoratidza kuti ndaive
ndakarara ndisiri kutomboziva
zvirikuitika . Kkk ndakaseka ndega
ndakatarisa video riya. Kutaura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chokwadi Sally aida kundijairira . Iye


ndiye akatondirhepa nekuti ndiye aiita
action yese.

Ndega ndakanyatsoona kuti iyi nyaya


yanga yakarongwa iyi. Plus iye aitora
video ndiyani ? Uye akazoritumira Rue
ari ani zvakare chinangwa chake chiri
chei? . Eddy ndaive ndisina kumbobvira
ndakamupa nhamba dzemukadzi wangu,
unless vakaita zvekudzitora mufon
ndakarara but how nekuti fon yangu
yaive neface lock . Kana ndakatovhara
maziso zvandaive ndakaita apa
yaisavhura zvachose chero vakataridza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

screen pachiso changu . Chandaigara


ndakailockera yaive nenhau yemapic
ataitumirana naRue . Taisenderana
manude zvekuti zvaive zvisingatomboite
kuti fon yangu ibatwe neumwe munhu
zvachose .

Vedio rakandipa simba ndichibva


ndatomuka ndokupinda mubathroom
ndichibva ndageza . Ndichipedza
ndakawaridza mubhedha
nechinyatsogadzira masheets zvakanaka
ndichida kuona kuti aive akasviba here
zvinoratidza kuti pambotambirwa
pamusoro pawo but panga pasina.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichipedza ndakabva ndatora fon yangu


ndakuedza kufonera Rue zvakare but
haana kubatika . Ndakatarisa ku App
kwakubva ndaona kuti ndaive
ndatoblockiwa kare mwoyo wangu
uchibva waita bundu. Handizivi kuti Rue
aida kuti ndiite sei chaizvo ? Dai aiziva
kuti ndaitorwadziwa kupfuura iye aisina
kumbondiblocka hake.

Nguva iyoyo ndakabva ndafunga


zvekufonera daddy . Ndiye ega munhu
aizondipa zano rakanaka . Ndakabva
ndatanga kutsvaga nhamba dzavo apo
ndakabva ndatanga kuona dzaKenny .
Ndakamboda kumufonera ndichimuudza
but mwoyo wangu wakarambisisa
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichibva ndatosiya ndakuenderera


mberi nekutsvaga nhamba dzasekuru
vaCassie . Ndiwo masevhero andaive
ndakadziita . Ndakasvika padzaive
kwakubva ndafona. Yakabatwa pasecond
ring ndokubva ndabatwa neshungu
pandakanzwa voice ravo ndokutanga
kuchema.

" Chii nhai Carl ? zvaita sei? "


vakabvunza vachiratidza kuti vaive
vasisina kugadzikana vanzwa
ndangotanga nekuchema pafoni
ndichibva ndafemedzeka neshungu

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokuti " daddy ndapinda


mudambudziko"

"Waita sei zvakare nhai Carl rega


kupoterera taura nyaya yako " vakadaro
ndichibva ndavarondedzera zvese zvaive
zvaitika vachibva vatura mafemo ndokuti
" ndiEddy" ndakatoshaya kuti vaida
kuedza kuti chii ndichibva ndati "
ndiEddy aita sei nhai daddy? "

"Ndiye akakurongera dhende rese irori.


Newowo Carl waifanira kunyumwawo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mhani. Munhu kukumbira ruregerero


nekutoronga zveparty ? Ngwara Carl
unourawa naEddy. Uri kutamba
nasatani uchizviudza kuti une shamwari .
I know kuti wakawirirana kubva kare
naEddy but iyezvino haachakude trust
me. Stay away from Eddy kana uchida
kuti zvinhu zvikunakire mwanangu.
Kutamba wega hakuurayi . Ndisendere
video racho ndisendere sahwira wangu
anoshanda selawyer ikoko tione "

Vakadaro ndichibva ndati " aiwa daddy


moda kundionerera ndichiita bonde?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Waiita bonde here kana kuti waiitwa?


Plus haasi muroora wanguka uyo. Dai
vari mai Cassie better ndichiti
handingaonereri muroora " vakadaro
ndichibva ndaseka hangu ndokubva
ndadimbura nhare kwakubva
ndavasendera video riya. Ndakangogara
2minutes kwakubva vafona back
vachiseka hanzi " haunyare kugarirwa
nemukadzi murume mukuru akaita
sewe?"

"Matanga daddy ndizvo ndanga


ndisingade kukusenderai " ndakadaro
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichiseka kwakubva vati " kuti


ndanyepa here? " vaitowedzera kuseka
havo apo ndanga ndakunyara.

"Vaudze kuti ndisungisei , hapana kana


nenyaya yese inombovapo apo, ndivo
vachanosarako" vakadaro ndichibva
ndatura mafemo ndokuti " thank you so
much daddy handizivi kuti dai musipo
ndichibatsirwa nani ?" Ndakatenda
zvaibva pasi pemwoyo wangu vachibva
vati " anytime my son rega ndipinde
mutown pane munhu wandiri kuda
kunosangana naye "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Asi mutori munzira here ndanga


ndichidawo kutaura namai Cassie pafoni
penyu pane yavo ndablockwa "
ndakabvunza vachibva vati" yes ndiri
munzira, kana zvichibvira fonera mai
vako kana Karen ukumbire kutaura navo
but usafonere Kenny nekuti pane
zvirikuitika . Mai Cassie ndirikuda
kuzotaura navo ndadzoka pane nyaya
dzavo naKenny dzavari kufungidzira kuti
hadzizikanwi "

Apa hana yangu yakarova zvisingaite


ndichibva ndati " inyaya dzei nhai
daddy? please musandiudze kuti Kenny
ave kudanana nemukadzi wangu daddy .
Ndizvo zviya zvandaigara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichingokumbira kuti dai marega auya


but imi makaramba" ndakadaro
ndochema ini. Daddy vakaseka
zvekugegedzera chaiko ndikatoshaya
chavaiseka ini panhau inosuwisa kudaro .

"Saka unofungidzira kuti dai yanga iri


nhau yokudanana kwavo ndataura here
Carl ? Kkk , haiwa dzikama iwe"
vakadaro vachiseka ndichibva ndapukuta
misodzi neseri kweruoko ndichisekawo
kwakubva vati " chawakapiwa namai
Cassie chikuru chokwadi . Haisi nyaya
yerudo but pane imwewo yavari
kufungidzira kuti vakangwara vari vaviri
zvino nhasi ndinoda kuvashocka "
vakadaro vachiseka zvakare. Ndakabva
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndasekawo ndakunzwa kuzvinyarira


kwakubva ndazodimbura nhare
ndakuenda kusitting room kwandainzwa
Eddy naSally vachitaura .

Iye munhu aive asiya ati arikundipa


20mins dzekufunga ko awa zvaraive
ratokwana hameno kuti aive achiri
kuitei ? . Iko ndaive ndazonyatsozeya
nhau yadaddy yekuti Eddy ndiye
akaronga maths yese iyi ndichibva
ndaona kuti vairevesa nekuti chero
Ronny aive ambondipa yambiro yazvo.
Ndakatodemba kuti paakati akuenda dai
ndakangoendawo zvino kuti ndizosiye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

party yainzi yaitirwa ini zvaive zvisingaite


but Ronny aive aona chaizvo nekuti
akataura kuti aive aona Eddy naSally
vachinyevezerana.

Apa ndakapika kuti ukaona iyi ndaibuda


ndaisazofa ndakada kuona Eddy
muhupenyu hwangu. Ndichangobuda fon
yangu yakabva yarira. Yaive unsaved
number ndichibva ndadaira
ndichitoshaya kuti aive ani ?." Mhoro
mwana waSheriton" akadaro munhu uya
kwakubva ndati " mhoroi makadii
ndirikutaurawo nani ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndini Leeroy Madzinga ndapiwa


nhamba nababa vako vachibva
vandisendera nevideo. Your father is my
friend" akapedzisa achidaro kwakubva
ndati" ndimi Laywer?"

"Yes udza varidzi vevideo kuti


vakusungise wozondifonera kana
mapurisa auya " vakadaro ndichibva
ndatenda ndokudimbura nhare .
Ndakabva ndafamba ndichipinda
musitting room umo mandakanowana
Sally akangopfeka pant nebra chete
vachitonwira doro mugalass rimwechete
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

naEddy. Ndakatoshaya kuti chii chaizvo


chaimboitika pavanhu vaviri ava nekuti
Sally aive asinganyari kushama pana
Eddy . Hameno kuda ndicho chirungu
chacho sezvo takazonzi takajaira Harare
kuzvigure maybe kusatoziva chirungu.

Vachindiona ndichipinda vakabva


vanyarara kuseka kwavaiita kwakubva
ndasvika ndichigara pasofa remunhu
hwani ndokubva ndatura mafemo
ndokuti " nyaya yawataura ndainzwa
Eddy but handikwanisi kuroora Sally
sheedzai henyu police " ndakaona
kushamisika pazviso zvavo vese
kwakubva Eddy ati " saka urikusarudza
kuenda kumapurisa nekusaka kuroora
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sally chete?, ko zvaakanaka


wani ?Unomboziva here iwe kuti munhu
asungirwa rape muno anogara nguva
yakareba sei mujeri? "

" Chero ndikanzi life in jail hazvina basa.


Sally handimudi ini zvaunozivawo newe
and l will never love her , Wangu mwoyo
uri pamukadzi wangu chete " ndakadaro
kwakubva Eddy ati " haiwa iye mukadzi
wengozi ndiye waungatoti mukadzi "
aidaro achiseka svoto kwakubva ndati "
ipapo pane wengozi ndipo pandakaperera
Eddy . Hapana umwe munhu wandichafa
ndakapa mwoyo wangu nekuti Ruvimbo
akatora wese "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Eddy akaridza tsamwa yekusvotwa


kwakubva zvanzi naSally " anenge
arikufunga kuti ndirikutamba uyu.
Zvino iyi hauibudi shamwari " akadaro
achitora fon yake yaive pamusoro
petafura ndichibva ndatobuda kudzokera
pandaive ndarara ndamirira mapurisa.
Ndakasvika ndokufonera tete
ndichimuudza zvaive zvaitika uye kuti
ndaive ndakatomirira mapurisa aive
afonerwa. Ndakamukumbira kuti anopa
Rue fon nditaure naye ndisati ndaenda
kumapurisa but ndakanzwa tete
achitukwa zvokuti ndakanzwa chigodo
cheshungu chichindigara pahuro.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Regai atange ave calm mukoma


ndozodzokera ndonoedza kutaura naye"
akadaro ndichibva ndati " hameno tete
kuti zvichanomira sei kupolice but kana
ndinenge ndazosungwawo mumuudze
kuti hanzi neni ndinomuda. Handina
kuzviita nokuda ngaandiregererewo "
ndichipedza kutaura mashoko aya
ndakabva ndatodimbura nhare. Ndaive
ndobitirirwa neshungu zvekuti
ndakangoti nhare ichidimbuka kwakubva
ndachema zvekurevesa. Ruvimbo
ndaimuda zvekuti zvaaiita apa
zvaindishungurudza .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndichiri kuchema ndakabva ndanzwa


siren panze ndikaziva kuti dzaive
dzasvika . Nguva iyoyo ndakabva ndaona
massage ichipinda yaiti" usadye anything
tinoda kuti ugonotestwa nadoctor kuti
hauna drug rawakaisirwa here tiwane
humwe humbowo. Shamwari yako
yakangwarira paduri sehuku "

Ndakabva ndapindura ndokubva


ndamuudza kuti mapurisa aive auya
achibva atoti akutopinda munzira .
Kwakubva ndaisa fon yangu muhomwe
kwakubva ndakufamba ndakubuda
panze apo pandakanowana pane shura

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

remota dzemapurisa. Kuita sekuti vaiuya


kuzobata munhu ari armed havo . Sally
akabva auya pandiri ndokunyevezera
hanzi " ukaona ukapabuda apa
undibvunze " ndakamedza chigodo
cheshungu kwakutanga kusandudzirwa
ndakaiswa macuffs ndakuendesa kumota
yemapurisa.

End of chapter 46.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 7

Ruvimbo.

Pakabuda tete ndakasara ndozvishora .


Kutaura chokwadi ndaive ndisina
kutaura navo zvakanaka. Karen ndiye
munhu akatanga kundiratidza rudo
pavanhu vose kubva zvandakasvika
ndichibva kuGokwe . Ndichisemesa
ndisina kana nenhumbi dzekupfeka
ndikapfeka dzake kusvika
ndichizotengerwa dzangu naCarl . Haana
kubvira andichinjira kusvika nhasi uno
ndichizomutenda nekumudzinga
sembwa . Kkk ndakazviseka ndega
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

shuwa . Iko kufarisa kwacho


kwekudzinga munhu mumba mekwavo.
Kutaura chokwadi ndakanzwa
kuzvinyarira .

Ndaida kumufonera kuti auye but


ndakazoona kuti kwaive kushaya respect
zvakare kwakubva ndasimudza dumbu
rangu ndomuvinga kubedroom kwake.
After all haasi iye aive anditadzira . Iye
aingovawo mutumwa asina mbonje.
Ndakasvika ndokugogodza achibva
adaira. Ndakavhura ndokupinda
ndichikweva makumbo angu ayo
aitondirwadza zvawo mumahips umu.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakanzwa gynae achiti umwe mwana


aive akagara kugumbo . Hameno kuti
ndiani anofarisa iyeye .

"Maiguru ko mazvinetserei? Dai


mandifonera ndauya ini tarisai muone
kuti murikutotambudzika kufamba plus
makumbo enyu akazvimba " akadaro
akandibata ruoko achienda
kunondigarisa pasofa. I became so
emotional ndichibva ndatanga kuchema.
Karen aive nerudo rwandisingakwanise
kana kutsanangura . Chokwadi
nezvandaive ndamuita ndaive
ndisingatarisire kuti aizondiitira

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvaakaita apa. Kumwe kuchema dzaive


dzatove nyadzi chaidzo but iye ndofunga
kuti akangofungira kuti kurwadziwa
nenhau yaCarl. Akabva andimbundira
takagara pasofa achindipuruzira musana.

"Am sorry " akadaro achiwedzera


kundimbindira ndichibva ndatanga
kufemedzeka neshungu ndiri mumaoko
ake. Haana zvimwe zvaakazombotaura
ndichibva ndati " Am so sorry tete
nekukudzingai kwandaita. Ndanga
ndisingafanire kudaro nekuti nemi
manga mangotumwawo . Ndirikuzvishora
zvisingaite it will never happen again "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakadaro ndichibwaidzika nenyadzi


vachibva vati " aiwa Maiguru handina
kumbotsamwa ini . Ini ndini
ndinotofanira kukumbira ruregerero
nekuti tisu takutadzirai . Mutori right
kubvisira hasha dzenyu pandiri nekuti
ndini Carl wacho anga aripo panguva
iyoyo. Kutadza kwaCarl ndekwanguwo
please forgive us makoti"

Akapedzisa achidaro ndichibva


ndawedzera kuchema . Karen was
humble zvinorwadza veduwe . Haamboiti
kunge munhu akakura ari iye ega
musikana pamba. Ndinotomushuvira kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aroorwewo nemurume achamunzwisisa


ane rudo serwaanarwo . Ndakabva
ndamumbundira ndichisekerera
mumisodzi imomo. " l love you "
ndakadaro ndichisekerera achibva ati "
Am not a lesbian " akadaro achiseka
ndichibva ndati " but mati ndimi Carl
aripo wani "

Ndakadaro ndakarereka musoro


ndichinzwisa tsitsi kwakubva zvanzi "
ndanga ndatokanganwa kukuudza
makoti kuti ndane mukomana " akadaro
achivhara kumeso nenyadzi.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakasekawo ndokubva ndati "


hamurevesi ?"

"Zvechokwadi rega ndikuratidze mafotos


ake " akadaro achitora fon yake
kwakuivhura achibva andiratidza . Iii
pamalooks aive akanyanya zvake
mukwasha wangu handidi kunyepa.
Ndisingazozive mwoyo wake kuti urisei? .
"Akanaka zvokuti mukwasha wangu but
ganda rake anoita kunge munhu
asingagare muno. Kubva aita skin inenge
yaCarl kudaro?" Ndakadaro achibva ati
" Yes anga ari kuchikoro kuHavard uyu.
Zita rake anonzi Courage takaonana
mushure mekunge auya kuzotora
hanzvadzi yake uya wandaigara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichikuudzai kuti akakumbira kuti


ndiite shamwari yake "

Akadaro ndichibva ndati " upi wacho?


Nelly here ?" Ndakabvunza achibva ati "
Yes , takangotanga tichitaura pafoni
kusvika tatozodanana. Ane mwoyo
wakanaka plus akati haarari neni kusvika
taroorana " akadaro ndichibva ndati "
good , saka anoita basa rei? "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Ndipilot but haasati hake ave


kushanda" akadaro ndichibva ndati" you
deserve a pilot zveshuwa tete nekuti mune
mwoyo wakanaka . Ndinoshuvira kuti
mukwasha wangu asavige matrue colours
ake iyezvino ozomabuditsa mave mumba .
Ndinokushuvirai kuroorwa nemurume
anonzwisisa , mudiwe nehama
dzemurume tose tobva tafara "
ndakadaro achibva ati " Amen " .
Zvechokwadi musikana anonzi Nelly uyu
akanguva ndiudza nezvake kuti
arikukumbira ushamwari. Zvino
aisamupa mukana nekuti hanzi daddy
vakati shamwari yako ndimai Cassie
chete plus shamwari dzekunze
dzinofurira zvakashata . Ndizvo mazuva
aya aive akubuda every weekend achiti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

arikupinda mutown . Pamwe kunenge


kuchinoonekwa iye mukwasha.

Ndakakwidzwa pamubhedha kwakubva


ndakutanga kumassagwa tsoka dzaive
dzakazvimba tichiita nyaya .
Ndakatozopedzisira ndabatwa nehope
nezvandaiitwa naKaren .
Ndakatozopepuka atove masikati chaiwo
apo mudumbu maive makuchema nzara.
Ndaive ndisina kumbodya chinhu kubva
makuseni. Ndakawana tete vasimo
mumba ndichibva ndagara hangu
ndakazembera macontinental pillows .
Kuburuka pamubhedha ndipo paive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nenyaya but ndaive nenzara . Ndakabva


ndatora fon yangu pasi pepillow ndakuda
kufonera tete ndichida kunzwa kuti vaive
kupi. Ndakatanga ndapinda online apo
pandakanosangana nemashura . Juma
aive aisa massage yaive yakanzi " saka
vana vongosvika pakuzvarwa here vasina
kumbovhurirwa nzira yekufamba nayo "

Ndakavhunduka ndichibva ndakasika


kubva online nekutodeleta massage
yacho . Nhaimi ndiudzei kana dai kuri
kuonekwa neumwe munhu asiri ini .
Ndichangobva online ndakabva ndaona
ndakufonerwa. Aive iye zvake saka

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakabva ndadroppa call . Nhaimi ko


kana ndaizowanikidzwa ndichitaura
naye . Remember ka kuti pamba hapana
anoziva nezvaJuma . Ndakabva
ndatodzima fon yacho ndokuidzosera pasi
pepillow .

Ndakatura mafemo ndakavhara maziso


apo pandakazonzwa door richivhurwa
bamunini Kenny vachibva vapinda.
Hameno kuti hunhu rudzii ihwohwo
hwekuti munhu anopinda muroom
yehanzvadzi asina kugogodza? . "
Kwakanaka here bamnini?"
Ndakabvunza achibva atanga aburitsa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

musoro kutarisa panze kwakubva afamba


achiuya kumubhedha kwandaive ndokuti
" Juma arikukumbirawo kukuonai"
akadaro nenzwi raive pasi pasi hana
yangu ichibva yawedzera kurohwa .

"Arikupi ?" Ndakakubva


ndichitaurirawo pasi kwakubva ati "
kumba kwake "

"Saka pano ndinobuda ndichiti


ndirikuendepi ?" Ndakabvunza plus
massage yake yaive yandivhundutsira . "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvimwe zvese siirai kwandiri imi gezai


chete mupfeke zvakanaka modirawo
perfume kuti munhuwirire . Hanty vanhu
vose vanoziva kuti tinowirirana , saka
kana mukabvunzwa kuti murikuendepi
munongovaudza kuti bamnini vati
vachambopinda neni mutown kuti
ndirohwewo nemhepo sezvo
ndichingogara pamba.

Ndakabvumira kwakubva ndaburuka


ndakuenda kubedroom kwangu.
Ndaingonzwa ndakazadzwa nemufaro
kuti ndakunoona juma plus ndaida
kunomutukira massage yaaive anyora.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakapinda mubedroom mangu


kwakubva ndageza ndokupfekawo
katernity kangu katsva nemasandles
acho . Ndiye Kenny aive atonditengera
zvinhu izvozvi. Ndakasprayer sekutaura
kwake kwakubva ndatora handbag
ndobuda. Dumbu ndiro
raingozondirasisa but ndaive ndanaka
zvisingabviri .

Ndakabuda ndokuwana mama


vakatogara havo musitting room
vachiruka majuzi evazukuru vavo.
"Ndakavakwazisa kwakubva ndabvunza
tete ." Apinda mutown hameno book

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

raati ari kunotsvaga ko imi mafungepiko


machena chena?" Vakabvunza ndichibva
ndati " bamnini vati timbopinda mutown
ndimbofurwa nemhepo . Hanzi
ndinonyanya kugara ndiripamba saka
vakuda kuti ndimbobudawo " ndakadaro
ndakatarisa pasi feeling so guilty
nekunyepera mama . Ugoona
ndaisambove munhu anonyepa ini.
Kungoti Juma wacho ndaive ndasuwawo
majokes ake ndizvo ndakabvuma zvangu
kuenda.

"Zvakanakai monokasikawo kudzoka


kusati kwadoka" vakadaro ndichibva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndati " zvakanakai mama " nguva


idzodzo bamnini Kenny vaitopindawo .
"Ready wifey ?" Vakabvunza ndichibva
ndati " Yes handei " takaoneka mama
kwakubva tabuda. Seni nenzara yakabva
yatopera .Takanopinda mumota
kwakubva bamnini Kenny vabuda gedhe
takuenda.

End of chapter 47.


C H A P T E R 4 8

Ruvimbo .

Takati tichibuda gedhi kwakubva taona


mota yadaddy ichitosvikawo ." Damn "

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

akadaro Kenny akarumanisa mazino


achirova steering wheel nembama.
Ndaida kubvunza kuti zvaita sei but
daddy vakabva vatovhura hwindo remota
kwakutarisa kwataive . Ini kubva
zvandaive ndamuka makuseni ndaive
ndisina kumbobvira ndavaona saka
zvaireva kuti kwaive kutodzoka uku.

"Urikuenda kupi nemukadzi waCarl ? "


vakabvunza vachiratidza kuti munhu
aive akatoshatirwa kare ndichibva
ndanzwa Kenny achimedza mate
ndokuti" ndirikupinda navo mutown kuti
vambonofurwa nemhepo sezvo

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachingoswera pamba " akapindura


kwakubva vati " saka ibasa rako here
iroro rekutavatakura uchienda navo
kutown? Karen anosifamba navo aita
sei ? Rwako riri rudo ?"Vakabvunza
Kenny achibva aramba akanyarara
akatarisa pasi . Ndainzwa hana yake
ichirova kunge ichabuda kunze
kwehembe .

"Dzosera mota muyard iyo usade


kundidhinha iwe " vakadaro
vachitofambisa yavo kupinda mukati.
Kenny akambosara akamira achiratidza
kuti aive akutya kwete zvekutamba.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Anobva atarisa kwandiri nemaziso


akajenga misodzi achibva ati " Maiguru
moramba makabatirira panyaya yedu.
Mukabvunzwa zvaJuma muti hamuna
kumbobvira mamuona tanzwananaka ?"
Akadaro zvaive nekakuvhundutsira
mukati ndichibva ndagutsurira musoro .
"Ndirikutorevesa Ruvimbo panhau
yaJuma. Ukanotaura kwausina kuswera
unourawa naJuma hameno hako "

Akadaro zvaive nerough mukati . Apo


kubva zvaaive akumbira ruregerero
raitove zuva rekutanga kundisheedza
nezita. Kenny aingonditi Maiguru and

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

aive asingakanganisi ipapo . Zvino apa


aive atondishandukira sekutamba
sekuseka . "Ndazvinzwa "
ndakapindurira kusvotwa nerough yake
kwakubva aridza tsamwa achimonyorora
steering wheel kudzokera muyard
kwakuti " chausingazive manje
ndechekuti Juma imhondi. Akagara
makore mujeri asungirwa mhosva
yearmed robbery saka usatomuitire
dzungu zvako "

Aive atondigumbukira Kenny kuita


sekuti ndaive ndatotaura or ndaive ndati
ndinotaura. Ndakaramba ndakanyarara

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ini kusvika aparka mota ndichibva


ndaburuka ndisina kumupindura .
Ndakanzwa zvakunzi " Ruvimbo
ukataura kwausina kuswera hameno
hako. Don't say l didn't warn you kana
wochekwa musoro naJuma "

Ndakaignowa ini ndokufamba


ndichipinda mumba. Kenny aive oda
kutondiona semwana wake . Ndichipinda
mumba ndakawana daddy vachitaura
namama vakamira vachiratidza kuti
munhu aida kudarikira. Ndisati
ndambogara pasi zvinobva zvanzi "
ndirikukukumbiraiwo kustudy kwangu

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

muroora "vakadaro vachitofamba


kukwidza upstairs ndichibva ndarohwa
nehana. Kustudy ndaive ndaudzwa kuti
hakungoendwe . Hanzi ukaona
washeedzwa kustudy ubve waziva kuti
yawapara ihombe chaiyo uye ndiko
kunotogara mvuu yekurovesa
vanhu .Ndakatarisa kuna mama maziso
ajenga misodzi.

"Daddy havadi kupedzerwa nguva mai


Cassie. Chinhu chinonzi nguva
vanochikoshesa zvisingaite ndizvo
uchiona vakomana vachizorohwa ikoko ,
kazhinji vanenge vachirohwerwa kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanenge vanzi huyai kustudy ivo voenda


nenguva yavo " vakadaro ndichibva
ndati" saka handinorohwi here mama ?"
Ndaive ndakutochema ini . Mbiri yababa
Carl yekurova ndaive ndainzwa. Mama
vakanditarisa zviya zvekupererwa
kwakubva vati " kuti waita sei nhai mai
Cassie?, asi une mhosva here ?"
Vakabvunza ndichibva ndakasika
kudzungudza musoro ndichitotanga
kukwidza mastairs ndotevera vatezvara
vangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakasvika ndokugogodza vachibva


vadaira ndokubva ndapinda . Ndainzwa
kutya saka ndakabva ndada kugara pasi
pafloor chaipo vachibva vandirambidza
ndokubva ndagara pasofa
pavakandinongedzera kwakubva ndagara
ndakatarisa pasi . Ndaive ndisina
kumbovaona kubva kuseni saka
ndakabva ndaombera ndichivamhoresa
vachibva vadaira. Chero zvazvo ndaive
ndakatarisa pasi but ndainyatsonzwa kuti
maziso avo aripandiri .

"Baba Cassie vasungwa " vakadaro


ndichibva ndavhunduka. Nguva dzaaive
ati anoda kutaura neni pafoni nekuti
anogona kuenda kujeri ndaitofunga kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

maybe kwaingove kuda


kundivhundutsira chete ini. "Hanzi zvaita
sei ?" Ndakabvunza ndisina mufaro
kwakubva vati " asi hamuna kumbotaura
navo here kubva kuseni ? Saka Carl ari
selfish ka anovanzira mudzimai wake
nhau yakarema kudai?" Vakadaro
vakanditarisa mumaziso chaimo
ndichibva ndabwaidzika nenyadzi
ndichitarisa pasi.

Kuti ndivaudze zvakare kuti aive


ambokumbira kutaura neni ndichibva
ndaramba zvakandinyadzisa ndichibva
ndaramba ndakanyarara. Ndaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakuchinyatsoona dzungu rangu rese


zvino. Iyi nyaya yairatidza kuti yaive
yakarema kwete zvishoma. Vaona ndisina
kupindura vanobva vatura mafemo
ndokuti " alrighty, iyoyo ngatimboisiyai
timbotaura yakakosha yacho
yandakusheedzerai muno " vaidaro
vachivhura laptop yavo ndokutanga
kubaya baya.

"Munhu uyu munomuziva here?"


Vakabvunza vachitaridza screen
kwandaive hana yangu ichibva
yatsemuka . Ko Kenny zvaaive ataura
kunge ane muti mudama nhaimi . Apa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndakarohwa nehana zvekushaya kana


zvekuita nekuti kuvemo kwefoto raJuma
mulaptop yadaddy zvairatidza kuti pane
zvakawanda zvavaiziva . Mudumbu
mangu makarira zvekuti ndainyatsonzwa
kuti ndaive ndasara padiki kuti
ndizvizadze manyoka .

"Asi mama venyu havana kumbokuudzai


here kuti handifarire kupedzerwa
nguva ?" Vakadaro ndichibva
ndakakama ndichiti " va-vataura "
ndakapindura ndave kuda kutochema
vachibva vati " ndabvunza kuti munhu
uyu munomuziva here ? Hongu kana

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwete" vakadaro ndichibva ndati " ho-


hongu " ndakatoona kuti vaiziva zvese
daddy ndizvo ndakabvuma plus ndaive
ndotya kurohwa .

"Munozivana sei ? I mean hukama


hwenyu nemunhu uyu hwakamira sei ? "
vakabvunza vachiratidza kuti vaida
chokwadi . "Ishamwari yabamnini
Kenny ?" Ndakapindura vachibva vaseka
zvaive nokusvotwa mukati ndokuti "
kwete yenyu ?" Vakabvunza ndichibva
ndadzungudza musoro nenyadzi
kurambirana nazvo . Vanobva vabaya
baya laptop zvakare ndokuitaridza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwandiri ndokuti " iconversation yani


iyi? Hadzisi nhamba dzenyu here idzi ?"
Vakadaro vakataridza screen kwandiri .
Guys ndakanyara ndikadikitira
zvekunyatsonzwa ndichidzikira makore .
Aive mamassages ese ataitaura naJuma
kubva musi wekutanga . Vedio randaive
ndamusendera chairo raivemo zvose
nemassage yekuvhurira vana nzira.

Apa ndipo pandakachizochema manje .


Ndaisachema kurwadziwa but nyadzi
chaidzo . "Mukomana wenyu ka munhu
uyu ?" Vakadaro ndichibva ndamhanyira
kudzungudza musoro zvekuramba zviye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndichichema .Vanobva vaseka zvakare


ndokuti " munogoramba sei kuti
mukomana wenyu nemamassage
aanosenda aya ? Worse kuuya pano
everyday achizoswera pano but kana
zuva rimwechete ramakatiudza . Dai
maive innocent panyaya yese iyi dai
makataura kuti pane shamwari
yabamnini inouya pano masikati tisipo
zvino imi makanyarara kuratidza kuti
pane zvamaiedza kuchengetedza . Ko
kana dai yaive mbavha or mhondi ? "

Vanosimuka vobata chiso nemaoko


maviri vachiratidza kuti vaiedza

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kudzikisa hasha dzavo kwakudzoka


vachigara pasi ndokuti " maramba
kuteerera Carl achida kuexplaina.
Mwana wangu asarudza kuenda kujeri
because of the love he have for you .
Hazvina kuitika nekuda zvakaitika zviya ,
he was drugged ndokumuita zvese
zvavakaita zviye . Imi mambozvipawo
nguva yekufunga here kuti akutumirai
video ndiani uye chinangwa chake chiri
chei ? . Ko zvinhu zvacho zvazvanga
zvichingova pachena wani ? . Chero
mukada kuritarisisa video iro
munonyatsoona kuti Carl anga asiri kuita
action . Munhu anga akatorara asiri
kuziva zvirikuitika . Am so disappointed
in you mai Cassie. Nguva yese iyi l loved
you ndichifunga kuti you're good for my

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

son but nhasi ndazoona kuti you're not .


Kutumira video kuboyfriend yenyu
mwana wangu achimbunyikidzwa here ?
Zvisinei hazvo sezvo manga makutoenda
kunovhurirwa nzira yemwana
mungachibuda henyu muende. Kana
masununguka ndichakuendesai
kuchikoro kuti mugozowanawo zvekuita
but pamwana wangu no .
Mungachisunguka henyu kuve nemunhu
wenyu zviri pachena. Carl is too good for
this nonsense. Hongu achamborwadziwa
hake but nekufamba kwenguva achapora
have a good day "

Vakadaro vachindivhurira door kuti


ndibude vasina kana kumbondipawo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukana wekutsanangura mamiriro


enhau yacho . Nhai hama dzangu,
zvandaive ndarasa chiri mumaoko
nekuda kuombera . Ndakabuda
ndichichema ndichinyatsonzwa kuti chero
simba handichisina . Icho chaive
chamboita kuti ndisendere juma video
riya hameno kuti chii ? Ndakapesana
naKenny mupassage achiratidza kuti
nayewo aitoendawo kustudy. Chokwadi
nhamo haibvi pane imwe. Mai vangu
ndivo vaizonyara vakanyura pasi havo.

End of chapter 48.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

C H A P T E R 4 9

Carlton .

Ndakasandudzirwa ndichipinzwa
kumashure kwemota apo ndakasungwa
maoko nemakumbo . Ndakanodonha
zvakashata kwakubva ndarovera
nemuromo ndokubva ndazviruma
ndichibva ndatanga kubuda ropa.
Ndakarwadziwa veduwe ndakatarisa
panze paive naEddy naSally avo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vainyevezerana vakanditarisa vobva


vaseka . Ndakazvibvunza kuti chikuru
chandakambonyanyotadzira Eddy kuti
asvike pakundivenga zvemhando
yepamusoro kudai chii ? .

Handina kana zuva rimwechete


randakambomuitira zvakashata .
Ndaitomutorawo sehama yangu chaiyo
asi iye akutosarudza Sally mundevere
weBulawayo uko achisiya ini hama yake
yepedyo . Chero dai kuri kunzi
idambudziko rinowira Eddy handifungi
kuti Sally aizomubatsira kupfuura ini .
Kune vamwe vanhu vagara vanongokuda
zvakanaka chete but kana rave
dambudziko vodzokera shure. Ndakaona
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachinopinda mumota yaEddy kwakubva


vakutanga kutevera kumashure.

Zuva iri ndakademba kuti dai ndisina


kumbobvira ndabvuma basa iri nekuti
raitoita kunge demon chairo . Zvinhu
zvangu zvakawanda zvakakanganisika
nekuda kwebasa irori. Kutaura
chokwadi ndairwadziwa. Tichisvika
papolice station ndakaburutswa kunge
sagi rizere matoto ehuku chaiko
ndichinodonhera pasi. Ndakayuwira
nemarwadzo ndichipukuta misodzi
yairera. Paupenyu hwangu ndaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndisati ndakambosungwa ini .


Semapurisa iwaya aive rough zvisingaite.

Ndakanzi ndisimuke ndizvifambire ndega


kuita sekuti vaitaura havo zvinhu zviri
nyore ivo vainyatsoona kuti ndakasungwa
maoko nemakumbo . Kuti ndisimuke
ndimire chaiko zvinhu zvaitonetsa .
Ndakabva ndaidirwa button stick
kumagadziko ndikanzwa parere mwoyo.
"You think am playing ? I don't have
your time you son of a bitch " rakadaro
zimurungu riya richindidzokorodza
zvakare nayo. Rairatidza kuti rine
hukasha chaihwo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" Am sorry " ndakadaro ndichichema


kwakubva rati " this is America not
Zimbabwe my boy . If you think you can
do whatever you feel like doing without
no one asking you then think again
because l myself will deal with you
accordingly" rakapaumba zimurungu
riya ndichibva ndaramba ndinyerere
ndakutya kuzvamburwa zvakare nekuti
vamurungu vairatidza kuti tsitsi chaidzo
ndidzo dzavasina .

Ndakatanga kudhanaira sechana chitoko


chirikukudzidzira kufamba ndichipinda
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mukati. Sally anobva afambisa achiuya


pandiri ndokuti "ncoo crying baby . Saka
shuwa ungazvipire kunoshungurudzwa
zvakadai for the years only God know
how many nekusangoda kundiroora
chete? Chii chaunoshora pandiri nhai
Carlton ? Inga ndakangonakawo wani ?
Inga ndinongovawo nechimiro chakanaka
wani ? Sei usiri kuzviona zvese izvi ?
Akambokupeiko iye mwana
anokupengesa kudaro ?" Akadaro
ndichibva ndaramba ndakanyarara .
Ndaimunzwira hasha dzekuti ndainzwa
kuda kumudzipa chaiko . Ndakabva
ndamuigonwa ndokutanga kufamba
ndichipinda mukati.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakasvika pareception ndokugara pasi


pafloor chaipo apo patakabva tanzwa "
Am here for my client Mr Carlton
Chirima " tese takatarisa kudoor
kwaipinda nemunhu uya kwakuona
murume aive akaita mutsvuku , murefu
zviri pakati nepakati ari slim . Ndakabva
ndaziva kuti ndiyo shamwari yadaddy
yavaitaura. "Mr Million how are you ?"
Rakadaro zimurungu riya rekundirova
richizhinya kwakubva zvanzi naMr
Million vacho " how can l be fine when
my client is swollen like this ? Look at his
mouth , were you guys beating him ? "
akabvunza ari serious. Airatidza kuti
anozikanwa chaizvo murume uyu nekuti
zimurungu riya rakabva rati " no Mr
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Million we didn't hit him . He fell by


mistake by the time he was coming out of
the car " rakadaro richinyepa zvichibva
zvanzi naMr Million " let's hope you're
telling the truth because l won't hesitate
to sue you for hitting him . You don't
mess with me and gets away with it. Now
can l have time with my client" vakadaro
zimurungu riya tichibva ramhanyira kuti
" of cause Mr Million please follow me ,
let me take off Mr Carlton's leg chains "
aidaro achitokiinura chain dzacho.

Ndakanzwa kufurwa nemhepo chokwadi


nekuti chain dzemumakumbo dzairema

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

idzi. Ndakatoshaya kuti besides law chii


chimwe chavaiita chaikonzera kuti
vatyiwe kudai? Ndakasimudza meso angu
kutarisa kuna Eddy naSally ndokuona
vasvava kunge boora ratsva nezuva.
Ndofunga vaive vasina kumbozvifungira
zvekuti ndingave nelawyer. Zviso zviya
zvaimbove zere nenyemwerero zvaive
zvasuwa.

Takufamba tichienda upstairs Sally


anobva asheedzera " please wait "
akadaro achifamba kuuya kwataive
kwakubva tamira tose . Anosvika
omirawo achiita kunge munhu aishaya

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pokutangira kwakubva zvanzi naMr


Million " we don't have the whole day
young lady , we have important things to
do with our time " anobva amedza mate
achiita kunge munhu aishaya
pekutangira ndokuzoti " l don't want
Carl to be arrested. Am not even opening
a case for rape . What l need is for him to
agree to marry me . We're both adults so l
don't see any reason why we don't solve
this in a peaceful manner"

Akapedzisa achidaro tichibva tose


tatarisana . I think aive atoona kuti nyaya
yacho kwayaive yoenda kwaive
kwaminama achibva ati rega
ndiigadzirise pachiri pedyo . "Its already
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

too late for that young lady . We want


justice . If Carl truly raped you , then he
deserve to rot in jail . We don't tolerate
such behavior in this country. But if he's
innocent " vanobva vatanga
kudzungudza musoro vakamutarisa
ndokuti " you're going to regret the day
you was born , let's go guys " vakadaro
vachitotendeuka vakufamba kwakubva
tese tatangawo kutevera tichimusiya akati
tumbi panzvimbo imwechete kunge
zungairwa .

Takanopinzwa muroom yaingove


nemachair maviri netable chete

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwakubva vamurungu vabuda . Takasara


tiri vaviri naMr Million kwakubva zvanzi
" mhoro mwana wasahwira wangu ,
nhaimi Shelton zvaakazvibereka
"vakadaro vachiseka ndichibva
ndavamhoresawo zvaive nehunhu
semwanawo akabva kuvanhu
ndichisekerera. Baba ava kana
waisavanzwa vachitaura shona ine
nyaudzosingwi , tsumo nemadimikira
zvandaiita apa waisafa wakaziva kuti
mushona. Chero English yavo vaitoita
kunge mublack American chaiye . Worse
nesurname yacho yavaishandisa
waisazombofa waziva kuti mushona .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Asi mune citizenship here ?"


Ndakabvunza vachibva vaburitsa wallet
yavo kwakubvisa ID vachibva
vandiratidza , yaive yakanyorwa Elton
Million. Ndizvo vairatidza kuve nesimba
kudaro nhai . Isu vekwasadza
taitozvininipisa nekuti taitoziva kuti
hatisi kunyika yedu . Wozondifonera
kana wafree uuye kumba kuzoona vamwe
but ndakaroora murungu " vakadaro
ndichibva ndati " ndichibuda muno
ndinoda kumboenda nemi zvangu
kumbonozorodza pfungwa nekuti stress
ingandiuraya zvangu ndega".

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"No problem, saka unoshanda kupi ?"


Vakabvunza ndichibva ndataura
kwakubva vati" icompany yasahwira
wangu ka iyoyo . Let me call him kana
uchiti ndinonyepa " vakabva vaburitsa
fon ndokutanga kufona vakaisa fon
pahandsfree. Vakavaudza boss vangu
nyaya yose zvekuti ndakanzwa mukuru
achiita kufemereka nehasha.
Vakazodimbura havo nhare but boss
vaive vatotaura kuti Eddy naSally wake
vachidzoka vanowana zvitupa zviri
pahwindo. Ndaida kukumbira kuti
vasavadzinge but Mr Million
vakarambisisa hanzi zvinongofanana
nekuti vachatosungwa saka kudzoka
kwavo vanowana basa pasisina.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takazotaura nenhau yaivepo kwakubva


vati taifanira kuendeswa kwadoctor tese
naSally tinoitwa matests. Ini
ndainotestwa kana ndaive ndisina
kuisirwa drug then Sally otestwawo hanzi
hurume kuti zvionekwe kuti ndehwangu
here ? Hameno kuti zvinhu zvacho
zvaifamba sei nekuti ndaive
ndisingatozvinzwisisiwo ini . Takazobuda
hedu Mr Million vafonerwa kuti doctor
aive auya. Ndofunga vakangoona kuti
zviitirwe zvese ipapo zvaive nani than
kuti tiende isu kwadoctor .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sally akasvika achitsananguriwa zvese


ndikaona shasha yavhura ziso ichitarisa
kuna Eddy .Naye Eddy ndakanyatsoona
kuti aive asisina kugadzikana nekuti
akabva akumbira kumbobuda panze
achiti anoda kunopinda mutoilet but
akarambirwa naMr Million vachiti
hakuna anobuda maresults asati abuda.
Takakagara takamirira maresults
nemacuffs angu mumaoko . Hameno kuti
vaifunga kuti vakandisunungura
ndaizotiza here . Zvaive zvava nani hazvo
nekuti ndaive ndabviswa ekumakumbo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sally akatorwa kuendwa naye achinzi


arikufanira kunotorwa tsvina yacho iyoyo
muchibereko yavaida kuona kuti yaive
yangu here? Mr Million vakavaramba
kuti Sally nadoctor vaende vari vaviri
chete kwakubva vapiwa umwe mupurisa
wechikadzi kuti ange aripo . Ndakaziva
hangu kuti pane zvavaizviitira chero
zvazvo vaive vasina kutaura .Sally
akaendwa naye achibva anodzoka
nemupurisa wechikadzi uya after
5minutes kuchibva kwazoendawo ini
nemupurisa uya zvakare . Ndakanotestwa
kwakubva tanzi timirire maresults
aizobuda after half an hour.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Takanogara pasi zvakare tamirira


maresults apo pakabva panzi naSally "
Carl can we talk in private please "
akadaro kwakubva zvanzi naMr Million
" Carl is not talking today . If you have
something to say you can just talk to me
because am his lawyer and l know whats
best for him . Today am the one who's
making decisions for him so if you want
to talk privately you can come this side "
vakadaro vachinongedzera kwakubva
Sally abhwaidzika nenyadzi
achidzungudza musoro hanzi " no it's
fine "

Hameno kuti chaaive akuda kutaura neni


iyezvino chii ivo vaifara ndichiitwa yese
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yese nemupurisa. Wainyatsoona kuti


zviso zvavo hazvichina mufaro zvachose .
Kushamisira kwese kuya kwavaiita tichiri
kubva kumba kwaive kwapera .
Chandaive ndongonamata ndechekuti
husave hurume hwangu huchawanikwa
huri muna Sally nekuti Mr Million vaive
vati hukawanikwa huri ihwo yaizonetsa
kubuda nyaya yacho panova ndipo
pataizoedza kushandisa video but vaiti
zvinogona kunetsa vanhu vanomagadzira
mavideo aya.

Zvino hana yangu yaive yorova nekuti


ndaisatozivawo zvakaitika . Worse
pakazoona doctor vouya ndipo
pandakanyanya kurohwa nehana .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndainyatsonzwa kuti yairovera


mumukanwa chaimo nekutya. Doctor
vanosvika ndokutora maforms avaive
nawo kwakubva vatambidza Mr Million.
Vakamaverenga ndikaona achidzungudza
musoro vakanditarisa . Mudumbu mangu
makasununguka ndikanzwa ndakuda
kutozvizadza mubhurugwa chaiko .
Ndaive ndoshaya zvekuita nekutya
hangu .

End of chapter 49
C H A P T E R 5 0

Narration.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mr Million zvavakaramba vakamira


vachiti vakatarisa mubepa votarisa kuna
Carl vobva vadzungudza musoro. Hana
dzevanhu vese dzanga dzakurova kusara
kwemapurisa chete . Eddy naSally
vaizvibvunza kuti angadaro abuda achiti
chii maresults? Iyewo Carl pachake aive
akungomedza mate zvisingaperi . Kana
kuri kunamata zuva iri akanamata
zvisina kana ani akamboona. Angadaro
aive asinganamate zvinonzwikwa hake
but zvaiitika muhana yake Mwari voga
ndivo vanoziva.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mr Million vakaita kanguva vachiverenga


kwakubva vazotambidza mapapers aya
kumupurisa aiita nezvenyaya yaSally.
Nayewo akavhura ziso paakapedza
kuverenga. Anobva atarisa kuna Sally
achitura mafemo. Kupererwa ndiko
kwaanga aita.

"Did Mr Carlton truly raped you miss


Sally ?" Akaukanda mubvunzo murungu
uya ndokubva Sally atanga kubwaidzika
kunge mukwasha awanikwa achiwedzera
mvura yesadza mupoto yambuyawasha .
"Am talking to you?"akatozoita
zvekukwidza inzwi murume uya
kwakubva Sally ati " no aaa yes , l mean l

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

don't know because l woke up on the


same bed with Carlton with both of us
naked and l was wet down there so l
thought that maybe he raped me but if
the sperms are not his it's fine you can
free him "

Akadaro ndokubva Mr Million vaseka


vachirovanisa maoko. Vaive
vamboshanda stereki nematsotsi anenge
ana Sally ava saka vainyatsovaziva .
"What do you mean exactly if you say l
don't know because if lam not mistaken l
asked you thrice if you're sure that
Carlton raped you and you said yes , do

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

you wanna play with my mind ?, do you


know that lying to the police is a serious
crime?" Akabvunza mupurisa uya
achiswedera pedyo naye. Sally akamedza
mate anopisa azonyatsoona kuti aive
apisira . Kuronga kwavaive vaita nhau
yese iyi vaive vasina kumbobvira vafunga
kuti vaizonotestwa kuti kuonekwe kuti
aive abatwa zvechokwadi here ?.

Akatarisa kuna Eddy uyo aive


ongohutawo ave kushaya pekubata.
Nyaya iyi yaive yavashandukira
sekutamba . Vaizvibvunza kuti aive
atsvagira Carl lawyer ndiani but

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaishaya. Vakambofunga kuti pamwe


ndiboss vavo but vakakasika vairasira
kure pfungwa iyoyo nekuti vakaziva kuti
dai vanga vari boss vaitozofona chete
kuna Sally or kuna Eddy vachida kunzwa
kuti zvaive zvafamba sei but vaive vasina
kumbofona saka iyi pfungwa
vakatokasika vairasira kure .

Sally akatozovhunduka adonha pasi


akuduburwa nembama pachair paaive
agere nemupurisa uya. Ko hanty aive
atorivara here achifunga zvake ega iye
aive abvunzwa mubvunzo. "You think
you're at your father's house? I don't

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

have the whole day you fool , l said who


did you sleep with and framed Mr
Carlton for rape ?" Akabvunza mupurisa
uya apfeka face yebere akabata button
stick .

"It's Edwell ,he's my boyfriend "


akakasika kupindura asati arohwa nekuti
dama raive raive ratodhinda mbama
yaaive arohwa. "Where's that Edwell of
yours ?"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

" She's lying akamhanyira kupindura


Eddy Sally asati amunongedza . " Ndiwe
Eddy, ndiwe wakandifurira kuti ndiisire
Carl drug mudoro ndigorara naye kuitira
kuti ndigozomupa nhumbu yako
yandinayo iri nzira yekuvhara mukadzi
wako . Ndiye Eddy akaronga nhau yese
iyi Carlton vachibatsirana nemunin'ina
wako Kenneth. Kenny aida kuti
urambwe nemusikana wako mushure
mekuona sex video then wobva watora ini
kurikuvhara nhau dzaEddy uye Kenny
otora musikana wako sezvo achimuda .
Arikuda kutiza naye kana angomubvuma
chete. Haakufarire Eddy uyu anoda
kukushandisa. Kukumbira sorry
kwaakaita aingonyepedzera . Vaive
vatoronga vapedza nemunin'ina wako .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kenny ndiye akatonditumira nhamba


dzemudzimai wako dzandakamusendera
video nadzo. Kana uchiti ndinonyepa let
me show you conversation yangu
naKenny uone kuti handisi kunyepa "

Akadaro achivhura fon yake Sally


achibva avhura pachat rake naKenny
kwakubva atambidza Carl . Mr Million
vaive busy recording vachisendera
sahwira wavo baba Carl . Carlton
akazosara kupedza kuverenga ochema.
Paupenyu hwake aive asina kumbobvira
afungira kuti Eddy naKenny pavanhu
vose ndivo vaizomuvenga zvemhando

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yepamusoro kudai. Zvose nepakasendwa


nhamba dzaRue naKenny dzaive
dzakatosevhiwa kuti babe akapaona.
Chokwadi Carl akarwadziwa .

"Wazvionaka kuti handisi kunyepa?


Hongu pakutanga ndaikuda Carl but
pawakandiramba ndakabva neni
ndaperawo rudo mushure mekunge
ndanzi naEddy haungarambi uchinetsana
nemunhu asingakude isu tinokuda tiripo
ndichibva ndatombomuramba ndichiti
une mukadzi panova ndipo
paakazondiudza kuti newewo unaye asi
iye newake are in a process of dirvoce

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

that's why arikuda kumudzosera kuZim


ndichibva neni ndatodyorawo .
Ndakatozoziva kuti ndaitambwa
pandakamuudza kuti ndane nhumbu .
Akatoita zvekundityisidzira kuti
ndibvume kukuisira drug ndigonyepa
kuti ndarara newe achiti ndikaramba
anondiuraya "

"What is she saying ?" Akabvunza


murungu uya aramba ongonzwa Sally
oropodza kutaura . "She's confessing l
will tell you what she's saying " vakadaro
Mr Million ndokubva vamupurisa
vagutsurira musoro . "You can arrest

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

these two criminals and free my boy "


vakadaro Mr Million ndokubva
vamupurisa vatanga kusunungura Carl .
Akafema mhepo inotonhorera mwana
wekwaChirima . Akasimuka
ndokutwasamura maoko ake akatarisa
kuna Eddy uyo aive asvava . Nyadzi
dzaive dzamuputira zvekuti aive
angotsikitsira musoro pasi .

Court yakanzi yaiveko mangwana acho


Monday panova ndipo paizotongwa nhau
yaEddy naSally wake . Vakasaina
ndokubva vabuda . Vakapfuura nekuflat
kwaigara Carlton kwakubva atora
nhumbi shoma. Aida kungonoita 1 week

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chete achigara kwamr Million ozodzokera


hake kuflat kwake.

"Wazviona kuti hauite dhiri


nemunhukadzi ukabudiriraka ? Tarisa
iyezvino musikana uya abvujunura zvese
" Vakadaro Mr Million vachiseka
kwakubva Carl atura mafemo ndokuti"
nyaya iyi irikundirwadza handidi
kunyepa . Handina kumbobvira
ndakafungira kuti Kenny angandivengere
mukadzi wangu kusvika pakundirongera
nhau inotyisa kudai . Kundirongera kuti
ndifire mujeri ini " akadaro osvimha
misodzi kwakubva Mr Million vati "
baba vako vandiudza nezvazvo . And
hanzi hameno umwe mukomana waanga
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ave kushandidzana naye and hanzi vanga


varonga kubata mudzimai wako ,
mukomana wacho arikunzi atove
mumaoko emapurisa izvozvi nekuti
awanikwa ane cocaine kumba kwake .
Ndapedzisira vachiti mapurisa ari
kusecha kusurgery kwaKenny zvekuti
kana vanga vachizviita vose
anotosungwawo "

Carl akapererwa nenhau idzi . Ave kuda


kupindura ndipo paakabva aona
kuchipinda massage yaibva kuna baba
vake yaive yakanzi " tengera mukadzi
wako ticket azokurira ikoko nekuti pano

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndingapedzisira ndamurova ndikazove


tezvara vakashata " akaseka Carl
nemutauriro wababa vake . Akaziva kuti
pane zvaive zvaitika chete but akati
aizobvunza iye Rue kana uya . Akafara
nekuti aive amusuwa zvisingaite .

"Ok daddy ndichanotenga ndagara pasi


ndichiri munzira kuenda kumba
kwasahwira wenyu " akapindura
kwakubva vaisa chiok emoji ndokubva
akutanga kutaura naboss vake .
Vakasvika kumba kwaMr million
akagamuchirwa zvakanaka fani.
Mukadzi wavo chero aive murungu aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nerudo rwusingaite . Aive akutosheedzwa


son .

"You can come and stay with us if you


don't mind " akadaro mukadzi wacho
kwakubva zvanzi naMr Million " his wife
is coming this week we don't want noise
at night " vakabva vaseka vose nekuti
vakaziva zvavaireva . Carl akaratidzwa
room yaaizorara umo makanogeza
ndokubva atotanga nezveticket . Passport
aive agara atoreswa Carl achangoenda
chaanga asina ivisa but akaziva kuti baba
vake vaizodzifambira nyaya dzacho.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakarara havo zvakanaka ndokuzomuka


mangwana voenda kucourt . Sally
akataura zvose zvaive zvaitika pasina
kana kusiirira. Eddy aona kuti
hapachina neimwe nzira akabva
azongobvumawo apo vose vakazopiwa
3months in prison . Sally akachema
zvainzwisa tsitsi . Aifunga kuti zvaaive
ataura zvose acharegererwa but hazvina
kuita sekudaro. Mr Million ndivo vaive
vakuda kufambira nhau dzekuti
vachingobuda chete vadeportwe . Vaive
vakabhowekana zvisingaite.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

End of chapter 50.

C H A P T E R 5 1

Ruvimbo.

Pandakapinda mubedroom mangu


ndakasvika ndichizviwisira pamubhedha
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndokutanga kuzviuraya nekuchema . Apa


ndipo pandaive ndakuchiona
kudzungaira kwangu kwese zvino.
Naicho chakamboita kuti ndisaudze
vanhu vakuru kuti pane shamwari
yabamnini inouya vasipo hameno kuti
chii ? Kungoti hangu ndakangofunga kuti
zvinhu zvisina basa sezvo aisasvika ega
aiuya naivo bamnini Kenny .
Pandinonyanya kuzvishora pandakaita
hubenzi hwandichazvishora kusvika
muguva kupa kwandakaita Juma
nhamba dzangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Chero zvazvo ndaive ndisingambofungi


zvekumuda but zvaingova wrong . Worse
nekuzomutumira video raCarl
ndakanzwa kuzvinyarira . Hameno kuti
chiiko ichocho chinenge ngozi chandaive
ndaita ? Kana iri mweya yehurombe
yekwaDhuve ndinoitya ini nekuti haina
kumira mushe . Chokwadi
nekurangarirwa nedenga kwandaive
ndaitwa kuti munhu wauya kuzoripa
ngozi wapedza ipapo wobva watodiwa
mumhuri. Ndaidiwa nemunhu wese
veduwe zvekuti ndega ndainyatsonzwa
kuti ndini . Zvino shavi rinenge chihure
raive randibata rokutaura neumwe
murume secretly munhu uine umwe
murume hameno kuti raive rabvepi ?.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hongu mazuva ekutanga


ndichangotanga kumuona
ndaitomborohwa nehana zvekutonzwa
kwakavanzika kwangu kuchivhita vhita
but nekumujaira zvaive zvapera .
Ndinotoshaya kuti chaive chii
chaikonzera izvozvo ? , hameno pamwe
yaive hayo nhau yekunhuwirira saCarl
kwaaiita sezvo ndaive ndamusuwa .
Ugoona ndaive ndisina kumbodaro kubva
ndichikura. Handina kumbobvira ndaita
shamwari yechirume ini kwaive
kutotanga . Zvisinei yaive yatodeuka hayo
mvura yemuguchu isisadyoreki .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakatora fon yangu kwakubva


ndaunblocker Carl ndichida kumuudza
zvese zvaive zvaitika . Chero zvaJuma
ndaive ndazvipira kutaura hangu . Hanty
daddy vake vaive vati hazvichaite here
kuti tive tese saka ndaida kukumbira
ruregerero nekumutadzira kwandaive
ndaita . Ndini ndaive ndatoputsa
chirangano. Chero izvo zvairehwa
nadaddy kuti mambozvibvunzawo here
kuti atumira video ndiani chinangwa
chake chiri chei ? Ndaive ndisina
kumbozvifunga ini . Hameno pamwe
ndokuzungaira kwacho . Zvisinei kuda
kuzviita mungwaru kwaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kwazondisvitsa pakurasikirwa nezvinhu


zvakandikoshera muhupenyu .

Ndakuda kutotanga kunyora


ndakazovhundutswa nemhere.
Ndakakanda foni pasi kwakubva
ndabuda ndichida kuona kuti aive aridza
mhere aive aonei ndichibva ndanzwa kuti
maive mustudy. Aive Kenny airohwa
nadaddy . Ndofunga airowerwa nhau
yaJuma chete nekuti ndakanzwa
zvichinzi " pamba pako here paunoita
zvaunoda Kenny ? Unomboda kuzviona
sani iwe ? "Vairatidza kuti vakatsamwa
kwete zvekufungidzira vatezvara vangu .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akarohwa kupedzisira mama vaenda


kumusiwo westudy kunorova rova door
vachikumbira kuti achiregererwa.
Ndofunga wanga wave mwoyo
wekubereka but akavanzwa ndipo pasina
nekuti Kenny mhere yake haana
kunyarara .

Akarohwa zvekupedzisira asisachemi ave


kungogomera. Namama vaive
vongochemawo vari padoor nekuti
rairatidza kuti raive rakakiiwa
nemukati ." Unovenga mukoma wako
zvekusvika pakumurongera kuti asungwe
ari kunyika yevatorwa une shuwa here

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Kenny iwe ? Waive wakamupfimba


akakuda here Ruvimbo wacho waunobva
wavengera Carl kuita sekuti aive
akakutorera musikana wako ? Zvino
sahwira wako atosungwa uko izvozvi
pamwe mapurisa ave kutovingawo newe .
Kana wobva kujeri handidi kana
kukuona pamba pangu nekuti
ungatotipedza tese nekutiuraya pano "
vakadaro vachivhura door ini ndichibva
ndamhanyira kudzosera musoro wangu
waive wakadongorera panze . Nhaimi
kana ndaizoonekwa hanty kunenge
kuchitova kuwedzera zana pagumi here.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndakanogara pamubhedha ndave kuedza


kudzeya nyaya dzese dzaive dzataurwa
nadaddy kuna Kenny but ndaitadza
kubatanidza . Ndaizvibvunza kuti
shamwari yainzi yasungwa ndeipi?"
Kungoti zvimwe zvacho ndaive
ndisinganyatsonzwa zvakanaka ndizvo
kubatanidza kwaindinetsa. Chero izvo
zvainzi ndiye akonzera kuti Carl
asungwe, ndaitoshaya kuti akazvikonzera
chirudzii ini iye arikuno? Mibvunzo yese
iyi ndaiishaira mhinduro kutaura
chokwadi . Zvisinei ndakazongozvisiya
ndatoona kuti ndingangoputika pfungwa
nekufunga.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ndaona kuti iyezvino kwati zii ndakabva


ndabuda ndakuda kunotsvaga chikafu .
Ndakapinda musitting room ndokuwana
mama vakagara pasofa vachipukuta
misodzi kuratidza kuti vaichema.
Ndakangopfuura ndisina zvandataura
kwakubva ndanotora rice mufridge
kwakudziisa mumucrowave ndichibva
ndadira juice ndokutakura plate yangu
ndakuenda kusitting room .

"Yanga yarumaka?" Vakadaro mama


vachimanikidzira kuseka but
uchinyatsoona kuti munhu
arikurwadziwa . "Ndazoswera ndiri

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

pamutsanyo nhasi " ndakadaro


ndichigadzika ndiro pasofa revanhu
vaviri randaida kugara kwakubva vati "
hameno hako naCarl ukauraya vana vake
nenzara " vakadaro ndichibva ndaseka
hangu ndichiti " ndiko kuti vajaire kuti
patirikuenda apo chikafu
chinomboshaikwa vanhu voswera vasina
kudya "

Zvakabva zvandifungisa makore enzara


tichiri kumusha . Taigona kuswera zvese
nekurara tisina kumbodya chinhu .
Matamba ndiwo aitombotibatsira zvekuti
ndikafunga nzara ndinomerera. Nzara
inorwadza hatidi kunyeperana . Seimwe
yakazomboitika rimwe gore Runako
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achiri mudiki, aichema veduwe achiti


anoda sadza. Kana mama vakati hapana
hupfu wainzwa zvonzi bikai zvakadaro .
Waizoona mama vosvimha misodzi
kuratidza kuti mukadzi mukuru
apererwa .

Mama vakaramba vakanditarisa with a


sad smile vachibva vati "l wonder kuti
chii chinombove pauri chinoita kuti vana
vangu vapengereke kudaro .
Havachaonani Carlton naKenneth
nekuda kwako mai Cassie . Handisi kuti
imhosva yako mwanangu but umm nyaya
yacho yakaoma . Izvozvi zvose izvozvi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvakaitika kuna Carl ndiKenny


akazvironga . Kujoina zvekutengesa
madrugs Kenny vavariro iri yekuda
kukukidnapper atize newe kuenda
kuNigeria . Kutobudiwa newe kwawanga
waitwa nhasi wanga usiri kudzoka. Anga
achitokuda zvekudaro Kenny zvekuti
anga atozvipira kuenda newe zvese
nevana vaCarl. Iyo shamwari yake iyoyo
yaigara ichiuya pano ukasatiudza ndiyo
yakaronga zvese . Hanzi munhu
waanoshandira ndewekuNigeria
anotransporter madrugs acho
achimaunza muno munyika medu. Saka
ndiko kwanga koda kutizira Kenny ikoko
"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakadaro ndichibva ndati " inga


zvakaoma mama , saka zvakazozikanwa
sei kuti vanga vachiita zvemadrugs vanhu
ava ? " ndakabvunza ndakutotya nekuti
ndaive ndisina kumboziva kuti bamnini
Kenny nguva yese iyi vaipretender .
Chokwadi kuda kundiba kuti vaende
neni . Ko zvavaimboti havadi munhu
anonhuwa nhamo wani?. Kutaura
chokwadi ndaitonzwa kupererwa chaiko
nehunhu hwaKenny .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Kubva zvakumbira Kenny ruregerero


daddy vakangogara vaziva kuti he's up to
something vachibva vatsvaga private
investigator aizove achimonitor
mamovements ake ese. Zvino munyama
waakaita ndewekuti private investigator
uyu muCID zvakare saka mukuteverera
Kenny ndipo paakabva aona munhu
waaive ave nenguva achiedza kubata but
asina humbowo hwakakwana nenhau
yemadrugs iyoyo. Akabva ahacker fon
yaKenny munova ndimo maakanowana
nhamba dzemukomana uya zvakare
achibva ahackewo neyake umo
makazonobudawo nenhamba dzenyu
pamwe nemamassage amaisenderana .
Nyaya dzose dzinenge dzichitaurwa
dzaitosvikira nekwaari saka zvose

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvandiri kukuudzai izvi zvirikubva kuna


private investigator iyeye. Iko hameno
kuti sei makarega kutaura nhau
yekusvika kwemunhu iyeye pano mai
Cassie, daddy vakatsamwa zvisingaite"

Vakadaro ndichibva ndatarisa pasi


nenyadzi ndokuti " handina kunge
ndakafunga kuzvitaura nekuti ndaingoti
sezvo asiri kuuya ega arikuuya
nabamnini he's harmless " ndakadaro
ndichitorevesa . Vanobva vatura mafemo
ndokuti " kusvika pakuchinjana
manhamba here ? Unoziva here kuti
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chinotori chipfambi ichi ? Chero Carl


akazvinzwa izvi unoswera warambwa .
Shamwari yaKenny haisi shamwari
yako . Chero shamwari yaCarl chaiyo
haisi shamwari yako . Respect yourself.
Rega kuita kuti vanhurume vakujairire
nekuti mukuintertainer varume imomo
ndimo mazvinotangira . Ukaramba une
kahunhu kakadaro trust me
hamuchembedzani naCarl. Vakadaro
ndichibva ndagadzika spoon
yandaishandisa kudya pasi. Nyadzi
dzaive dzanditorera appetite yese
dzikaenda nayo.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vakandiraira mama zvekuti ndega


ndakanyatsoona kuti pane zvakawanda
zvandaingotora sezvinhu zvisina basa asi
zvichitova naro. Takatozoswera takuita
dzimwe nyaya namama . Chero ivo vanga
vasisina kunyanya kusuwa. Kenny
nadaddy zvainzi vaenda kusurgery kwake
kwainosechwa . Hameno but mama vaiti
kupabuda kwake kunonetsa nekuti
humbowo hwemamassage avaisenderana
naJuma aripo. Zuva iri ndakachera
chikomba ndikasvipa kuti handife
ndakaintertainer vanhurume vasiri Carl
zvakare.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Tete vakatozosvika kwakutodoka vane


mufaro . Araitidza kuti aivafadza
mukomana wavo . Tatopedza kubika
zvemanheru ndipo pakasvika daddy
vachiti aive abatwa nemapurisa Kenny,
hanzi awanikwa akawanda madrugs
kusurgery kwake and hanzi yabva
yatonzi ivharwe. Chokwadi ndakanzwa
tsitsi. Aive atosungwa sekutamba Kenny.

"Muroora mogadzira kuseni


ndichamukira nemi kumaVisa ndichienda
kubasa , hanty passport yenyu iripo "
vakadaro daddy ndichibva ndati " yes"
vakabva vatokwidza mastairs vakuenda

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kubedroom kwavo . Mama vaive


vatosuwa zvakare kubva zvakanzi Kenny
avharirwa. Ini ndini ndaive
ndongozvibvunza kuti visa yaive yei? .
Hameno kamwe kamufaro
kandakangotanga kunzwa mandiri so .

End of chapter 51.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

S e m i f i n a l

Narration.

Freddy naSolo kubva zvavaive vabva


kumusha mushure mekuurawa
kwakazongo vaive vasina kuzombobvira
vadzokerako . Mazuva aya zvinhu zvavo
zvaive zvakufamba negwara uye chero
mari chaiyo yaive yakubatika zvirinani.
Mazuva ekutanga zvaida kumboita
sezvinodzipa asi nekufamba kanguva
zvakazoita zvichiita. Iyezvino chero zviya
zvekuti vakangobata kamari votofunga
kubhawa vaive vasisazviiti. Vaive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakutogonawo kurongera mari dzavo


nekuti chero mudzimba dzavo dzavairoja
maive mazara property .

Zvaive zvisisafanani nemazuva aya akare


avairara pasi vachingove nezvichira
zviviri zvembwa . Chero naivo
vaitozvionera voga kuti paive pave
neshanduko huru. Chero mapfekero avo
chaiwo aive akuratidzawo kuti vanhu
vane pfungwa dzakakwana . Nhau yaive
yogara ichivanetsa yaive yamai Ruvimbo .
Vaizvibvunza kuti zvakadzingwa muraini
vakanangepi nekuti kuhama dzamai vavo
vainzi havako . Vakazongozviudza kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vaizoramba vachitsvaga chete kusvika


vavawana .

Kumusha kuna mai vavo vaingoita


zvekufona chete pamwe nekutumira mari
yechikafu . Rimwe zuva Freddy akazoona
ofonerwa namai vake vachimuudza kuti
baba vavo vairwara asi marwariro avo
vanoita kunge munhu anorwara njere
nekuti vanenge vachingotaura mazita
evashakabvu . Vaiti vanhu vavanogara
vachitaura vaive mbuya
vaRuvimbo ,baba Ruvimbo , babaChido
pamwe naTiri. Mbuya vachido
vakamuudza vachiti dzimwe nguva

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanotombochema vachiti vanorohwa


nevashakabvu ava neshamu dzine
minzwa.

Zvino Freddy naSolo vaitoramba kuenda


vachiti kumusha kunovafungidza
zvakawanda . Mbuya vachido
vakapedzisira vave kufona vachichema
vachiti mandiregerera huyai tizoisa
musoro pamwe tionesane urwere
hwababa. Vaive vavhunduka mbuya
vaChido nekuti mazuva aya vaive vatove
nemaronda muviri wese sekuru vachido
nekurohwa ikoko . Vaive vasingarari
zvekuti chero ivo Mbuya vachido vaive
vaonda zvekusara musoro chete.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Freddy naSolo vakatozonyengererwa


namadzibaba vaya vekubata kazongo
kuti vabvume kuenda asi kutaura idi
chairo vaive vasingadi . Baba vavo
vainzwa kuvavenga nemwoyo yavo yese .
Vaivapa mhosva yekukonzeresa
zvakawanda mukati mehupenyu hwavo.
Zvisinei vakazongofunga kuti vaende
vanoona kuti chii chaiitika.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vari mubhazi kuenda kumusha foni


yaFreddy inobva yarira. Akatarisa
ndokuona iri new number achibva adaira
hana yake ndokurova achinzwa voice
ramai Ruvimbo . "Mama ndimi? "
akabvunza nemufaro wese vachibva vati
" ndini bhudhi wakadii hako? "

"Zvandanzwa kuti muri vapenyu


ndakufara. Hamuzivi kuti ndanga
ndichikutsvagai sei? Dzirisei hanzvadzi
dzangu uye murikugara kupi?"
Akabvunza vachibva vati " ndiri
kuHarare bhudhi hanzvadzi dzako
dzinofara chose . Uyu Ruvimbo ndiye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

arikuda kuzobvisirwa ndizvo uchiona


ndatofona kuti undisvitsirewo shoko kuna
bamkuru. Ndaona kuti handingaroodzi
vana ndega mwanangu kuita sekuti
havana hama . Chero
tisinganyatsowirirani asi vana
ndevekwaDhuve hazvichinji "

Vakapedzisa vachidaro Freddy achibva


abwaidzika achiedza kudzosera misodzi
mukati. Rudo rwakadai aive asati
akamboruona paupenyu hwake. Ivo
vaive vatopika kuti havafe vakatsika
kumusha but mai Ruvimbo vakabva
vachidzingwa sembwa vaive vafunga kuti

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vanhu vakavadzinga vazoroodza vana


vadye mari . Kubva zvaive zvafa baba
Ruvimbo hapana kana zuva rimwechete
chero ivo vana Freddy vari kukorokoza
ravakamboti mainini dhora rechigayo iro
asi nhasi ndivo vozogara pazvituro
vachiroodza Ruvimbo . Kutaura
chokwadi Freddy akadzamirwa .

"Zvakanakai mama titori munzira


izvozvi kuenda kumusha . Ngatiitei so ,
ndichakufonerai kana takasvika tataura
navo baba but varikunzi havasi kunzwa
zvakanaka . Nhasi chaiye ndichatorara
ndakupai mhinduro . Asi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ndimbobvunzawo mama ?" Akadaro


kwakubva mai Ruvimbo vati " bvunza
hako bhudhi "

Anobva agadzirisa pahuro pake ndokuti


" nhai mama , Ruvimbo haasi iye aive
anzi akaenda kunoripa ngozi here ?
Ndirikutadza kunzwisisa nekuti so far
gore harisati rapera aenda but
pakutotaurwa zvekubvisirwa
zvirikumbofamba sei ?" Akabvunza
nenzwi raive rizere kuda kunzwisisa mai
Ruvimbo vachibva vati " ndizvo chaizvo
bhudhi kuti aive aenda achifanira
kunoripa ngozi but nyaya yacho irikunzi

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

haina kufambiswa nenzira kwayo


nabamkuru saka kutaura kuno Ruvimbo
akatotakura matwins uye haasi kutouya
nekuti akatevera murume wake mhiri
kwemakungwa kwaanoshanda "

Vakapedzisa vachidaro Freddy achibva


atura mafemo nekupererwa . Aive
akuzvidya pfungwa nenhau yekuti kana
Ruvimbo achinzi haana kunoripa ngozi
chii chichaitika ? Akatoziva kuti paive
patove nenyaya hombe yaida
kutogadziriswa nguva ichiripo apa.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Zvakanakai mama tozotaura mauya "


akadaro Freddy ndokubva vaonekana
nhare ndokubva yadimbuka . "Hanzii ?"
Akabvunza solo aona kusuruwara kwaive
kwaita mukoma wake pachiso. Freddy
anodzungudza musoro wake ndokuti "
ndimainini mai Ruvimbo vanga vachifona
hanzi madzitezvara aRue arikuda
kuzobvisa roora "

"Saka chirikuita kuti udonhedze chiso


panhau inofadza kudai chii ?"
Akabvunza solo kwakubva Freddy ati "
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

kutonyara chaiko . Mainini vakabva


vachidzingwa sembwa vachipuhwiwa
huroyi hwavasina . Nhasi totowanikwa
takagara pazvituro tichiti tirikuroodza
mwana wavo kuti tidye mari .
Vaitambura nevana vachishaya kana
nguva yekusakura mumunda mavo vari
kumaricho but isu takadai kana zuva
rimwechete zvavo ratakamboti mainini
iyo pondo iyo mutengere vana sipo "

Akadaro achinyatsoratidza kuti


aibatikana zvekurevesa." Kuroodza
hazvireve kuti tinotora marika Freddy .
Isu tichangotora matekenya ndebvu chete

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

tosheyana nababa imwe yose yoenda


kuna mainini. Munhu akazvirerera ega
vana vake uya rega vazvidyire . Kkk rega
ndiseke zvangu . Baba vachiendesa
Ruvimbo kunoripa ngozi vaifunga kuti
varikumugona ivo vachimugonera . Nhasi
avekuuya kuzobvisirwa nemurume ane
mari wavo Chido wavaibata sezai achifa
nemaricho kwamupostori uko . Kubva
zvaasheedzerwa nejongwe chii chimwe
chakazombouya ? Nezuro chaiye
ndakatozokanganwa kukuudza kuti
akandifonera achindiudza kuti arohwa
naringa benyu mundiro (mupostori)
hanzi nekuti aive amuendesera sadza
nemufushwa wenyemba usina mafuta.
Kurohwa hanzi ati wakaregerei
kunorikicha zvinoita vamwe kuti uwane

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mafuta. Zvino ndakamuudza kuti tambai


mose mujairane ikoko ndizvo zvawaida .
Aifunga kuti rudo rwemumagwenzi
ndirwo rwemumba. Munhu kungoona
atengerwa mazepe nemari yabva
kunoshandirwa nevamwe vakadzi otoona
kunge anyanya kudiwa stereki . Munhu
haudiridziri dzinde rerugare rwako
nemisodzi yevamwe zvikakunakira .
Shuwa kudzikisirwa zvakadaro
zvekusvika pakusheedzerwa nejongwe
munhu akangosvika svika saChido
kudaro. Iyezvino Ruvimbo akatokwira
ndege yatinongoonera mudenga isu vana
Solo achienda mhiri kwenyanza
kwatinongoita zvekurota. Chido imbudzi
yemunhu"

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akadaro Solo achiridza tsamwa


kwakubva Freddy ati " chitori chidzidzo
kwatiri ichi. Mashoko awataura
makukutu Solo. Munhu haufaniri
kudiridzira dzinde rerugare rwako
nemisodzi yevamwe . Saka hameno
panhau yengozi yaive yanoripwa naRue
tichaita sei ?" Akabvunza kwakubva solo
ati "iyo hainetsi . Iwe neni tichatongoenda
kumusha kwevanhu vacho tinokumbira
kuti havangatichaji mari kana mombe
here tobatsirana kubvisa . Chero tikaita
gore rose richishandira ngozi hazvina
kumboipa. Tinofanira kugadzirisa
upenyu hwedu nehwevana vedu Freddy .
Hatizodi kuti kana tafa vana vedu
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vozosara votambudzwa nezvavasingazivi


" akadaro Solo ndokubva Freddy
abvumirana naye . Mazuva aya vaive
vatovewo nevasikana vavaive
vatovimbisana navo kuvaka misha. Solo
chero kuita sedzisimo kuya kwaive
kwapera.

Vakazofamba rwendo rwese vachironga


nezvehupenyu hwavo kusvika vasvika .
Vaive vakatenga grocery rakawanda
chose . Mai vavo vachivaona vakachema
chokwadi . Vaive vaenda kwave kare
vana vavo . "Mhai ndiye munhu
wamaitinetsera muchiti anorwara iye

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

munhu akangopenya penya pachiso


kudai?" Akadaro Freddy vachifamba
kuenda kumumvuri wemuhabhurosi
paive pagere baba vavo .

"Masikati kudai vanenge vari munhu.


Vanongoramba kuti zuva ridoke chete .
Hanty muripano , muchazvionera henyu"
vakadaro Mbuya vachido vachiuyawo
pamvuri mushure mekupedza kuisa
grocery mumba. Vaive vatofara kuti
vozonokorerawo muzukuru wavo Chido
aidaro kutambura. Freddy naSolo
vanokwazisa baba vavo ndokutodaira
kunge munhu chaiye. Vakambotandara

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vachiita dzimwe nyaya kusvika Freddy


azoisa nhau yamai Ruvimbo.
Akavarondedzera zvese zvekunzi
chikaranga chengozi hachina kufambiswa
zvakanaka izvo zvaizikanwa nasekuru
vaChido nekuti vaive vambozviudzwa
nasekuru Chiwara vasati vorwara
nenjere.

Munhu ane mabasa ake haaregi. Vaive


vatorongera mari yaRue vapedza. Vaive
vatozviudza kuti mai Rue vaizongovapa
mafukidza dumbu chete imwe yose
votora. Vaive vatofunga zvokunoisisa
gumbo resimbi zvavaive vaudzwa

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nevamwe . Vaive vafunga kutsvaga


anovatsipikira vashakabvu vaive vadai
kuvamukira zvine simba . Hameno kuti
vaiti gumbo racho rinofamba distance
here ? Zvekureurura zvavaiudzwa
nevashakabvu izvo vakati bodo .Hapana
pavaizombozvifumura munyika .
Zvaitove nani kufa pane kuti vanhu
vazive mabasa avo akakura kudaro .

Vakatozoswera vafara. Izvo zvinhu


zvacho ugoti manyawi. Husiku uhu
kunyatsorara kana kumborohwa
nezvipoko . Freddy aive azofonera mai
Ruvimbo kuti vaive vakasununguka

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

zvavo kuuya vayenzi . Mangwana acho


vanhu vakamuka iri shina shina
kugadzira pamba . Freddy naSolo
vakamuka vachinotsvaga mbudzi mbiri
dzokuurayira vaenzi.

Kana vari sekuru vaChido vaive


vatononokerwa nekuti vaenzi vasvike.
Kutaura chokwadi kune vanhu
vasinganyare munyika muno . Kana
waiudzwa kuti vanhu vakarindirwa
vanhu vakabva vachiita zvokudzingwa
waigona kuramba. Hongu kuroorwa
kwaRue kwakavarwadza but semunhu
aive asisakwanisi kuita chinhu nekuda
kwekushaya gumbo vakangoti
ndaizovabatira pamari.
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Ivo mbuya vaChido vaimira mira chaizvo


nekuda kwemadyo. Vaiziva kuti
vakwasha hapana pavaizombouya vasina
grocery saka vaitove mudenga
rechinomwe chairo . Kuuya kwevayenzi
kwaive kwatovanonokera. Chido vaive
vamufonera vachimuudza
nezvekuzobvisirwa kwaRuvimbo achinge
atoti anoda kuuyawo musi wemarooro
zvimwe angawanewo murume weHarare
asi mbuya vake vakaramba vachiti vana
Freddy variko varikuti hauuyi usina
chawabvisirwa .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

"Asi jongwe rakauya mukadya nyama


wani mbuya ? Plus handichadi
zvamupostori ini izvozvi asungwa
nemapurisa arikufungirwa kuti ndiye
akapisira achimwene mumba saka
anogona kusadzoka" akadaro asi mbuya
vake vakarambisisa . Aive atofunga
zvekuzozvitaurira kuvarume veHarare
Chido asingazivi kuti kwaingouya vanhu
vakuru voga.

"Jongwe rine basa rei nhaiwe Chido ?


Chokwadi ungataure zvejongwe Ruvimbo
akaenda Hingirandi kuvarungu ?
Unonyadzisa chokwadi , zvino pano

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

ukauya unokaura nekurohwa naSolo .


Rangarira kuti wakamunyepera uchiti
unoda mari yekutenga sipo iwe uchida
kutizira" vachipedza kutaura vanobva
vadimbura nhare yavo . Vaive
vagumbuka veduwe . Zuva raendeswa
Ruvimbo vaive vafara zvakaoma
vachifunga kuti Chido wavo achaitawo
zvisvinu achibva avanyadzisa .

Zuva rekuuya kwevaenzi rakasvika.


Paive nana baba namai Carl , baba namai
Abby then sekuru Hondohwe avo vainzi
vanoita munyai kozouya mai Ruvimbo .
Vachisvika nekombi vamwe vemuraini

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vakatouyawo kuzoona kuti chii chaive


chaitika. Vanhu vachiona quantum
vakangofunga kuti rufu chete zvekuti
mota yakatozosara yomira vanhu
vatozarawo.

Sekuru vaChido vaida kuvapopotera but


vakangonyara vaenzi pamwe nasabhuku .
Sabhuku vakufamba vachiuya
kuzobvunza mafambiro enyaya ndipo
paibudawo sekuru Hondohwe semunyai
mumota pamwe namai Ruvimbo
madzitezvara aRue achisara vakamirira
kupiwa mvumo yokubuda. Sekuru
vaChido pavakangoti ba kuona

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Hondohwe vanobva vatanga kuridza


mhere vachigwesha nemagadziko
vachidzokera shure vachiti " siyana neni .
Ndakakupa mukadzi ukamuramba saka
uchiri kudei kwandiri ?
Unonditambudzirei ? Iyezvino handirari
nekuda kwambuya vaRue, baba vake ,
baba Chido naTiri vandakauraya
vanogara vachindirova husiku hwega
hwega . Chimbondisiyaiwo ndizorore
ndaneta "

Vaidaro vachichema . Kana vari vanhu


vomuraini vaive vabata miromo
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

nezvaitaurwa apa. Freddy naSolo ndivo


vakatozovasunga ndokuvasimudza
vonovapfigira muimba yavo yokurara
vatoona kuti vaive vakutozvinyadzisa
pavanhu. Kutaura chokwadi
zvainyadzisa. Kana vari mai Rue
vakachema zvakapisa tsitsi . Sabhuku
vaive vokonewa chero kusimudza chiso
chaicho kutarisana navo nekuda
kwenyadzi. Vanhu zvakazoita rumwe
rumwe kuenda vachingozunza misoro.

Freddy naSolo ndivo vakazomira sababa


zvinhu zvikafamba negwara. Pakabviswa
$3000 cash Freddy ndokutora $100

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

yematekenya ndebvu chete kwakupa mai


Ruvimbo imwe mari yose . Vanhu
vakadya vachifara. Sekuru vakazoti
sekuru vaChido vaunzwe panze pane
zvavaida kuita. Vachibudiwa navo
vakabva varohwa nemvura kumeso kuti
pfungwa dzavo dzidzokedzane apo
pakabva pasvikawo mai Rue vaive
vamboenda kudongo kwavo . Vaive
varwadziwa neconfession yasekuru
vaChido .

Bamkuru mune shuwa here kuuraya


murume wangu asina
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

chaakakutadzirai ?" Vakadaro


vachichema sekuru vaChido vachibva
vaziva kuti vaive vahumana. Vakanyara
kushaya kana pekupinda. Vakabva
vangobuda vasina kana kupindura
ndokudzokera mubedroom mavo .
Vaishaya kana pekutarisa. Havana
kubuda kusvika manheru apo vakangoti
vachiona kuti kwasviba vakangopota
neseri kweimba yavo yekurara
ndokukambaira vachibva vanozviwisira
mumugodhi wavo waive wacherwa
ukasabatwa mvura . Waive wakadzika
zvisingaite.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mbuya vachido ndivo vakatozoti vovigira


murume chikafu kwakuwana mumba
musina munhu. Vakatomboedza kutsvaga
pose asi vakashaya kusvika
vatozosheedza vamwe ndokubatsira
kutsvaga. Solo ndiye akazobatidza torch
ndokuzoona paive pakakambairwa
achibva atevera apo akanowana kuti
muzira uya waive wananga pamugodhi.
Akasheedzera ndokubva vamwe vauya.
Vachinodongorera mugodhi ndipo
pavakazoona mashura.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Vanhu vakabata bata veduwe voshaya


zvokuita. Vakauya vamwe varume
vomuraini kuzoedza kuvaburitsa izvo
zvakatora nguva nekuda kwekudzika
kwemugodhi. Vakabuda vatofa kare
nekuti vaive vadonha nemusoro. Nyadzi
dzinokunda rufu chokwadi . Chivi chaive
chadya mwene wacho . Vaive vaenda
zvavo sekuru vaChido.

End of chapter.

FINAL CHAPTER

Narration .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mbiri yokufa kwasekuru vaChido


yakafamba mitunhu . Vanhu vose vaiuya
kuzoona kuti zvechokwadi vaive vafa
here nekuti murume aive avanetsa
kwenguva refu uyu. Panhamo dzavo
paive pakazara. VeHarare vakatozotadza
kudzokera vomirira kuti mutumbi utange
wachengetwa. Aive aenda nezvivi zvake
Musharukwa. Iye Chido paakazvinzwa
akachema zvisingaite nekuti sekuru vake
aivada ivo vachimudawo . Chero
zvevarume VeHarare vaaida kuzotsvaga
akatombokanganwa ochema sekuru vake
ndokutozopatika vaenda akazvishora
zvisingaite .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Sezvo mupostori akanobatwa nemhosva


akabva atotongwa akaendeswa
kuChikurubhi uko kwaakapiwa live in
prison . Freddy naSolo vakatozongoona
kuti zvaive nani vatore mwana wavo
nemwoyo wakaputsika adzoke pamba .
Ko vaive vachamuregerei iko kwaive
kusisina murume . Zvino panhamo ipapo
vanhu vaive vongomunyeya kuti
takuzotorerwa varume vedu. Zvino vaive
vamumaka kuti vaizomurova chete.

Sabhuku vaive vatomboedza


kunyengetedza mai Ruvimbo kuti
vadzoke asi wakarambisisa. Ko aive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

apenyerwazve munhu waMwari nekuti


vaive voita kunge murungu mai
Rue .Gadziko riya raimedzerwa mate
nevarume raive rachiwedzera zvino
zvokuti vaiita kudonhedza musika.
Izvozvi mari yemarooro yavaive vapiwa
vaive vatofunga zvihombe nayo. Ko
munhu wacho aive business minded ka .
Chimwe chavainyanya kukudza Mwari
nacho vana vavo vaiteerera.

Bertha haana kumbobvira aita


musikanzwa. Wainzwa achiudza mai
vake kuti handidi kunyadzisa sisi mai
Cassie kwavakaroorwa nekuita

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

misikanzwa. Waitonzwa achiti ndinoda


kuzoroorwawo nemurume anonzwisisa
sewasisi Rue ndochatawo. Iye Rue aive
asvika hake zvakanaka nemurume wake .
Akanosvika anzwa veduwe makumbo
azvimba. Chero kutsika aive
asisakwanisi . Luck nderekuti murume
wake akakasika amuona achibva
amhanya kunomusimudza .

Akazvibvunza ari paairport kuti ndini


here Ruvimbo weGokwe ndiri mhiri
kwenyanza. Chokwadi Mwari
vanoropafadza pakashoreka
akazvibvuma musi uyu . Kana ari Carl
muromo waive waita kutatamuka kuita
seuchasvika kugotsi. Akafara
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mwanakomana waChirima kuona


mudzimai wake. Aive akambosuwa
nokuda kwekusungwa kwaKenny uyo
aive anzi 5yrs in prison Juma ndokunzi
25 sezvo akawanikwa ane pfuti dzaive
dzisiri pamutemo . Akachema zvainzwisa
tsitsi Kenny but chekuita ndipo paive
pasina. Dai akatanha dzaanosvikira
pamwe dai pasina zvese izvi .

Ruvimbo akasvika akaudza murume


nyaya yese yakaitika. Haana kana
chimwechete chaakasiya. Vamwene vaive
vati asataure but mai vake
vakamukurudzira kutaura. Vaive
vamutuka zvekurevesa chaiko
paakavaudza nhau yacho. Hongu aive
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mwana mudiki zvake but vakati kune


zvimwe zvinhu zvisingade
kufungirwa .Achienda vaive
vanyatsomugarira pasi chaipo
vakamuudzisa.

"Hazvina mhosva hazvo babe


zvakatoitika but hauvimbe vanhurume.
Ukaona munhu wechirume anoda
kuzviswededza pauri too much anenge
achitova nezvaari kuda. We all learn
from our mistakes . Dai pasina zvakaitika
izvozvi pamwe dai usingazive nanhasi
saka l forgive you hangu "
kwakazomborarwa here vanhu vaive

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

vasuwana. Lucky nderekuti Carl aive


atsvagirwa imba yakasununguka naMr
Million. Vanhu vainzwa nekuitirwa noise
zvavo .

Zuva rasvika Ruvimbo ndiro zuva


rafonerwa Carl naMalcom achikumbira
ruregerero achiti aive akadzoka kuNew
Zealand kare. Aitokumbirawo kuti Carl
amutsvagirewo basa kucompany kwavo
but Carl akatomuudza kuti kwaive
kusina . Nzvimbo yaiveko chaizvo paive
pabuda Eddy naSally but Kenny aive
amudzidzisa kuti vanhu vanokumbira
ruregerero vachinyepa vane zvavari kuda
variko saka akatongogara aavoida nyaya
iyoyo .
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Mazuva akafamba zvawo Ruvimbo


nemurume wake vagere zvakanaka . Iye
ndiye aive aremerwa. Mazuva acho Carl
akatopiwa leave kubasa vachitotyirawo
kuti paigona kuzoitika zvimwe.
Zveshuwawo kuita sevaive vafemerwa
nekuti 2days after leave yaCarl Ruvimbo
akabva atanga kurwara. Carl
akavhunduka nekuti paupenyu hwake
aive asati amboona munhu anorwadziwa
nenhumbu. Akamuendesa kuchipatara
achishaya pekubata nekutya .Rue
achiendeswa mulabour room anobva
afonera mama vake.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Yakangoti ichidairwa kwakubva atoti "


mama ndinokumbirawo munamato Rue
apinda mulabour " mai Ruvimbo
vakanyatsonzwa kutya kwaive invoice
raCarl. Vakaseka havo ndokuti "
musatye mwanangu anosununguka
zvakanaka " Carl akabvuma hake but
zvaaive aona zvaimutyisa. Rue wacho
agoti rupfumbira. Munhu aive auyiswa
zuva richangodoka akatozosununguka
makuseni kuma4am anzwa . Carl
akarara agere veduwe zvekuti
paakazoudzwa kuti kwaive kwave nevana
akafara zvisingaite.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Akabva atopinda achimhanya kunoona


zvivana zvake . Aive asununguka
mukomana nemusikana Rue but twaive
tudiki. Carl akasimudza vana vake
akachema misodzi akavatarisa.
Aizvibvunza kuti ndini here zveshuwa
ndaive ndaunza vanhu vaviri ava
panyika ? . Anobva aisa vana pasi
ndokunotsvoda Rue. Aive aneta Rue saka
vakangoti vachipedza kumucleaner
achibva atorara. Akatozomuka pave
paye . Kumusha vanhu vaive
vatotumirwa mafotos ana two .
Kwakafarwa kani vanhu vachifarira
vana.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Pavakabuda mukadzi waMr million


akakumbira kuti vazogara kumba kwake
kwemavhiki maviri achibstsira Rue
nevana saka Rue akatobuda achinanga
ikoko . Kunoperawo kwevhiki mbiri aive
asimba uye aive akukwanisawo kugeza
vana pamwe nekuvapfekedza. Wanga
wave mufaro wega. Ukuwo Eddy naSally
vakangoti vachibuda ndokubva
vatodeportwa . Eddy zvinhu mukadzi
paakanzwa kuti asungwa aive auya
akatora kusara kwefurniture chete
yavaive vangorenta imba nefurniture
yayo. Aive adzokera kuzvigure. Aida
kunokumbira ruregerero kwana Carl but
akatya. Evans chaiye akangosvika
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

achimuudza kuti aive asisade kutamba


naye nekuti aive asisamuvimbi.

Carl naRue vakatozodzokera kumusha


after 3yrs vatenga plot ravo pamwe
neimwe imba kuGrange . Rue aive akuda
kunoitawo zvechikoro sezvo vana vaive
vakura asi vaida kutanga vachata.
NaKaren akazokumbirwawo
nemukomana wake achangopedza form6.
Aive avimbisa kuti achamuendesa
kuchikoro vakugara vese . Akabvisirwa
zvakadadisa kani vabereki vake vakafara.
Murume wake aive akushanda saka
hapana chakambonetsa . Ndiye
akatotanga kuchata Carl naRue vasati.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

Zvinhu zvese zvaive zvofamba negwara .


Vaive vangomirira kubuda kwaKenny
uyo airatidza kuti jeri raive ramuranga.

Ukuwo kumusha Chido aive ave neumwe


mwana pamba. Zvemba zvinenge zvaive
zvaramba nekuti varume
vaingomupfimba vaive vevanhu saka
zvekurohwa nemadzimai avo aive aneta.
Aive akungozvigarirawo pamusha nagogo
vake achichengeta vana vake. Solo
naFreddy vaive varoorawo vachigara
kukadoma nemadzimai avo . Pakuripa
ngozi yeHarare vaive vanzi vabvise
Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973
TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

mombe 15 kana ma$200 vachibva


vabatsirana kusvika vapedza . Zvinhu
zvaive zvarongeka chose .
The End

Ndinokutendai mafans atete nerutsigiro


rwenyu. Takashanda tese zvakanaka
kusvika tichinopedza . May God the
almighty bless you all for me . Musaneta
kundisaporta . Ngatisanganei mubook
redu rinotevera .... chishongo loves you
all .

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973


TETE MANJEX NOVELS 2023 [I WAS YOUNG AND INNOCENT]

©TETE MANJEX NOVELS


ENTERTAINMENT 2023
ALL RIGHTS RESERVED.

Pdf by THE ALPHA +263 77 466 4973

You might also like