You are on page 1of 46

PAUL MWAZHA

“Paurosi, muapostora usina


kubva kuvanhu kana kutumwa
nemunhu asi naJesu Kristu
naMwariBaba, wakamumutsa
kuvakafa”.GARATIA 1:1.

PDF DONE BY ALI SAINI

KUTUMWA KWAPAUL
MWAZHA PART 1
KUTUMWA KWAPAUL MWAZHA PART(1)

KUTUMWA KWAPAUL MWAZHA WEAFRICA

Paurosi, muapostora usina kubva kuvanhu kana kutumwa nemunhu asi naJesu Kristu
naMwari
Baba, wakamumutsa kuvakafa.GARATIA 1:1.
Nokuti ndinokuzivisai hama dzangu kuti Evahangeri yakaparidzwa neni, haina kuita
sayavanhu.Nokuti handina kuipiwa kana kuidzidziswa nomunhu,asi ndakairatidzwa naJesu
Kristu.Nokuti makanzwa zvomufambiro wangu kare pakunamata kwavaJuda,kuti
ndaitambudza
kereke yaMwari zvikuru kwazvo,ndikaiparadza pakunamata kwavaJuda.Ndaipfuura vazhinji
vezero rangu parudzi rwangu,ndainyanya kushingairira tsika dzamadzibaba angu.Zvino
Mwari,iye wakandishanangura kubva padumbu raamai vangu,akandidana nenyasha
dzake,akati
afadzwa nazvo,kuti aratidze Mwanakomana wake mandiri,ndimuparidze pakati
pavahedheni.Pakarepo handina kurangana nenyama neropa,handina kukwira Jerusarema kuna
avo vakanditangira kuva vaapostora.
GARATIA 1:11-17
Ini ndakapiwa Evhangeri kuna vasina kudzingiswa saPetro kuna vakadzingiswa.Nokuti iye
wakapa Petro simba rokuva muapostora kuna vakadzingiswa ndiye wakavapawo simba
rokuva
muapostora kuvahedheni.GARATIA 2:7, 8

CHITSAUKO 1

KUBEREKWA NEDZIDZO YAMAVAMBO 1918-1930

1.Ndakaberekwa nomusi waOctober 25,muna1918, paHoly Cross Mission,kwaChirumhanzu


District ,kuMvuma.Ndakakatumidzwa zita rinonzi Mamvura namai vangu Saramina.Zvinonzi
shure kwamazuva mashoma ndakarwara nechirwere che influenza ndikafa.Ndafa,amai vangu
vakaenda nechitunha kuimba yaYave kuti chinobhenedhikwa setsika yechiRoma kuti kana
munhu afa anotanga abhenedhikwa ozoenda kunovigwa.Ndakabhenedhikwa naFata Schimdt
nezita rinonzi Paul.Akati, “Paul,ndinokubhenedhika muzita raYave,nera
Mwanakomana,neraMweya muSande,Amen.”Ipapo ndakabva ndamuka, ndikachema, vanhu
vose vaiva muimba yaYave vakazadza noMweya muSande vakadaidzira vachiti, “Mwana
wamutsirwa basa, mwana wamutsirwa basa, mwana wamutsirwa basa.”Shure korufu rwababa
vangu, Joseph Mugovera Mwazha, takazotamira kwaKwenda, Njanja, muCharter District
kuChivhu.
2.Mugore ra1929na 1930 ndakadzidziswa ketekezima yechiRoma nasekuru
vangu,Nyamayedenga.Tainamata muteuro waIshe pakuvata napakumuka misi yose.Nenguva
iyi
ndakanga ndisingagoni kuverenga sezvo ndainge ndisati ndapinda chikoro.Asika ndakanga
ndava kugona kupindura mibvunzo nomusoro nokuita munamato waShe zvose.Nenguva iyi
ndakatanga kuziva Mwari saBaba vangu vari kudenga,naJesu Kristu soMuponesi wangu.
CHITSAUKO 2
MINAMATO INOPINDURWA, KRISTU ANOZVIRATIDZA KWAARI 1931-1936
1.Mugore ra1931 ndakatangisa kupinda chikoro paMasvaure Methodist School,kwaKwenda
kuChivhu.Nenguva iyi rudo rwaKristu rwakazadza mwoyo wangu kwazvo.Ndaiti kana ndiri
munzira ndichienda kuchikoro ndikafunga Ishe Jesu,misodzi yobuda nokumuda.Nomwoyo
waipisa chaizvo,ndotsauka nzira kwava kuenda musango,ndonamata,ndozovambazve
kufamba.Nomuchikoro kana toita muteuro waShe,rudo rwaTenzi rwaitangazve kuzadza
mwoyo
wangu,misodzi yozara mumeso angu.Shure komunamato uyu ndaikumbira kuenda
panze.Ndaibva ndaenda kuzvikomo,kwava kuchipfugama,kwava kunamata nemisodzi.Kwaiti
kana chikoro chabudwa,ndodzokera kumusha,ndaifamba ndichinamata nzira yose.Pamwe
ndaimbotsauka nzirazve,ndonamata musango.Ndichisakura mumunda,rudo rwaShe rwaipisa
mwoyo wangu chose,misodzi yobuda,kwava kuisa badza pasi ndonamata.Pakunamata uku
kose,Tenzi waizadza mwoyo wangu nomufaro mukuru kwazvo,uyo wandisingagoni kutaura
mumarimi avanhu.
2.Mugore ra1932 ndichidzidza Sub B paMasvaure,ndakarota ndiri mutembere seri
kwearitari,ndikaona muchizaruro pakati petembere paita dombo guru.Muti wakamera
uchibva
padombo iri.Wakakura uchipfuura chadenga chetembere,dakara wapfuura chadenga
chipfumbu,uchibaya mudenga.Ini ndakanga ndiri seri kwearitari yetembere ndimire
ndakatarisa
muti uyu.Pakarepo ndakanzwa izwi richibva kudenga richiburuka nomumuti uyu,richisvika
mutembere,ndokutaura neni.Rakataura riri mudenga richiti,‘Tarira ndava kuburuka kudenga
kuzotaura newe chiso nechiso mutembere.Ini ndakati,‘Zvakanaka Ishe,burukai henyu
muzotaura
nomuranda wenyu saizvozvo’.
3.Ipapo ndakaona murume muchena asina kumbofanana navanhu vapasi
pano,wakasimba,achiburuka mumuti uyo ndokusvika padombo.Ipapo ndakamhanyira
kuaritari
ndokusvikoti,‘Ya ndakuziva ndiwe satani’.Ndakabva ndamubata namavoko
maviri,ndokumusimudza,ndokumurovera pauriri hwetembere achibva afa
pakarepo.Ndakazoona
tembere yazara navanhu vakapfeka zvichena.Nokudaro inzwi raMwari rakatanga kutaura
neni
richibva kudenga.Rakataura neni nguva yakareba,asi hapana kana shoko rimwe haro,pane
zvose
zvakataurwa naShe Mwari mutembere kwandiri,rakatenderwa kuzivikanwa navanhu vepasi
rino.Ndakapepuka ndikanamata.
4.Izvi zvakaitika kudaro nguva dzose.Kuzoti nomumwe musi mugore ra1933,ndichidzidza
Std .
1,Mwari wakasima mumwoyo mangu rutendo rwaJesu.Zvakaitika kudai.Ndakakumbira mai
vangu kuti vandipe mari 2/6 (25c) kuti nditumire Harare kunotengerwa juzi.Vakaramba.Saka
ndakaenda seri komusha kuzvikomo kundonamata.Ndakatanga kunamata ipapo ndichiti,
‘Mwari
ndimi Baba vangu.Handina mumwe baba panyika nokuti makamutora.Saka taurai naamai
vangu
kuti vandiitire tsitsi,vandipe mari nditumire Harare kundotengerwa juzu.Pakarepo Mwari
wakapindura munamato wangu uyu nokuti ndakanzwa amai vondidaidza ,
‘Mamvura!Mamvura!
Ndikadaira , ‘Mhai’! Ivo vakati, ‘Chiuya uende kutsime ugozouya wotora mari yawareva iyi
2/6,ugonopa vaHuchu vondokutengera juzi raunoda .Kurumidza zuva risati
ravira.’Ndakasimuka
ndokumhanyira mumusha .Ndakati chirongo nhongu,ndiye tande kutsime.Ndadzoka
kutsime,mai
vakandipa mari iya 2/6 ,ndokubuda mumba ndiye nayo kwava Huchu.Nzira yose ndakaenda
ndichitenda Baba vangu varikudenga.Mazviita henyu Baba vangu,mandipa mari
iyi,ndinotenda.Kubvira zuva iri ndakaziva chose kuti Baba vangu vari mudenga
vanondida,vanondiona,vanoziva zvandinoshaiwa,vanopindura mikumbiro yangu
nokuchimbidzika.Nokudaro rudo rwangu kuna Jesu rwakatanga kuwandisa.Ndakanyanya
kuvimba naye.Ndakatanga kumutevera.
5.Mugore ra1934 ndichidzidza Std .11 paMasvaure, Ishe wakaratidza muviri wangu
wokudenga
kwandiri.Kaviri ndakaona Tenzi Jesu Kristu,pachake.Zvakaitika kudai.Ndakaona
muchiratidzo
kuhope ndiina vamwe vaviri tichibhururuka tiri mutembere mudenga tichiimba rwiyo 124
mubhuku yenziyo yeMethodist .Taibhururuka kumusoro nezasi.Takanga takapfeka
magamenzi
machena,marefu.Miviri yedu yaiva michena somwedzi wejenaguru .Mumwe waiva kurudyi
rwangu mumwe kuruboshwe.Mwoyo yakanga izere nomufaro unoshamisa wedenga,izvo
takanga
tichibhururuka nokuimba kuna Mwari.
6. Ndakarota ndiri pamusoro pegomo. Ipapo ndakaratidzwa kamunda kakavakirwa
namapango
kakare kare.Mukati mako mainge musina mbeu,chiri chirimo.Ndichibva apa ndakakwira
pamusoro pedombo guru kwazvo,ndikaona nechokumusoro miti ina mashizha akasvipira iri
pamusoro paro.Pasi payo paiva navarume veAfrica vakapfeka magamenzi machena,vamire
vachiimba kuna Mwari,izwi roUsingaonekwi rikati, ‘Hona vaapostori vaJesu’.Kuzoti
ndotarira
padombo iri nechezasi,ndakaona Ishe Jesu Kristu akagara mukati maro,akatarira pabhuku
guru
rakanga rakazarurwa,riri mumaoko ake,wakanga akaringira kumusoro (North).Ndamuona
,ndakati, ‘A! Ishe ndokubva ndoburuka, ndichibva ndapepuka ndava muMweya Unoera.
7.Mugore rakare iri ndakaona Ishe Jesu.Zvakaitika kudai.Ndakatumwa kundoparidza
Evhageri
kunyika yamavirazuva.Verenga Isaya 6:1.Ndakasvika pandakawana vanhu vari mumba
yamapango inekona ina ,vachiimba nokutamba.Vairidza ngoma ,vachiparidzawo
nekunamata.Ndakapindamowo ndokugara kumusuwo ndichiona nokunzwa zvavaiita.Kuzoti
vapedza,ndakasimuka ndikati kwavari, ‘Varume ndapinda muno ndikaona nokunzwa zvose
zvamanga muchiita.Zvino ini ndinobva kumabudazuva ,ndatumwa kuno kuzokuparidzira
mashoko aMwari.Asi ini handiparidziri mumba menyu, kwete,asi panze.Vose vakatanga
kubuda
panze,ndokukomberedza musuwo.Ini kuzoti ndobuda,ndamira pakati pavo kuti ndiparidze
shoko
raMwari,vose vakanhonga mabwe kuti vanditake vachiti,‘Wauya kuzopindura nyika!Wauya
kuzopindura nyika!Ndakanyura pasi pakarepo ndokuzobuda ndava kumusoro munyasi
morukova
rwaiyerera ruchibva mabvazuva.Kumativi arwo ose mhiri nemhiri kwaiva nouswa hunyoro
nemiti yakasvipira.Ndakapfugama ndakatarira mabvazuva .Pamberi pangu paiva nechikomo
chine miti yakasvipira nouswa hunyoro.Kuzoti ndapedza kunamata ipapo,ndakasimuka
ndikati,‘Zvino ndogodzokera nei kumusha kumabvazuva,zvandasiya bhasikoro rangu paya
pandanga ndotakwa namabwe?Ndakazoti, ‘Ho-o ndotobhururuka kwazvo.Ndizvo ndakabva
ndabhururuka,ndiye togo kumabvazuva,Ndakasvikomhara panyasi porukova rwaiyerera
ruchibva
kumusoro,ruchienda zasi.Mhiri nechamabvazuva kwaiva nomunda uzere nomumera
wechibage
chakasvipira,chisati chava nezero rekutumbuka.Ndakaenda patsime munyasi morwizi urwu
kuti
ndinwe mvura,ndokubva ndowana Ishe Jesu ageremo,akatarira pabhuku
rakazarurwa,akaringira
kumusoro.Ndakati,‘O,Ishe! Ndokubva ndabvapo ndoenda mumusha, ndichibva ndapepuka
ndava
muMweya Mutsvene.
8.Ishe Jesu akapindurazve muteuro wagu mugore rakare ra1934.Ndakataura ndichiti
kunaTenzi,
‘Ishe,Ndimi Baba vangu,handina baba panyika asi imi.Zvino gore rino ra1934 rava
kupera.Pano
paMasvaure hapana Std 111.asi pa Kwenda.Baba ,ndipeiwo mari yechikoro ndindewo
kwaKwenda kundodzidza Std .111 gore rinouya ra1935.Pakarepo izwi raJehovha rakati
kwandiri,Unoenda.Saka nokukasika ndakaenda kuna muevhangeri Patsika,paMasvaure
ndikati
kwaari, ‘Mutungamiri ,nyoraiwo zita rangu parutsara rwavaoenda kwaKwenda gore rinouya
nokuti ndichaendawo mukuda kwaMwari.MuEv Patsika akashamiswa kwazvo akati,
‘A,Mamvura ! Wati unoendawo kwaKwenda,mari yefees unoiwana kupi?Ini ndakati kwaari ,
‘Ndinoiwana.Saka ndakaenda kudondo kundonamata ndikatenda Baba vangu vari kudenga
ndichiti, ‘Baba ,ndinokutendai nokuti mati muchandipindisa chikoro paKwenda gore
rinouya.Tsitsi dzenyu dzakawanda Baba vangu,ndichakukudzai zvakawanda chose
.Ndichibva
kundonamata ndakanzwa amai voti, ‘Nhai Mamvura !Unoziva here kuti kare kare,baba vako
vasati vafa,vaiva nechikwereti chavo kuna Taga.Dai tambonotaura naye,zvichida angatipe
mombe,ukawana mari yechikoro uko uri kuda kueda gore rinouya.Uyu murume,akadya
mombe
yababa vako yainzi Mutiusinamauswa.Yaiva nezamu.Saka kana abvuma angatotipa mhou
nemhuru yayo.Takaenda kuna Taga akatipa mhou nemhuru yayo.Ndakaendazve kusango
ndanamata Mwari ,ndichitenda nemisodzi.Takatengesa mombe idzi tikawana mari
yandakaendesa paKwenda Mission muna1935.
9. Ndava paKwenda Mission, ndakatangisa kudzidza Std .111, ndichigara mumba mamuEv
Isaac
Patsanza.Seri komusha waPatsanza,ndaiva nenzvimbo pandainamata mudondo
mangwanani,zuva,nezuva risati rabuda namauro.Hapana munhu waiziva izvi zvose.Zvaiva
chakahwanda changu ndogaChishanu zuva rovira ndaienda kumusha kwangu kwaMasvaure
kundoona mai nevamwe vana vamai vangu,vanaElijah naPriscilla,vaidzidza
pamusha.Munzira
yose kubva kwaKwenda,dakara KwaMasvaure,ndainamata ndichitaura kuna Baba vangu vari
kudenga nemisodzi.Mweya waJehovha waizadza mwoyo wangu kwazvo.Nziyo
dzandaiwanzoimba kuna Baba vangu vari kudenga ndeidzi:-
127,50,124,24,30,59,62,118,34,93,33,121,142,153,42,18,2,1,52,79,135,130,11,132,95,97,137
,12
8,88,64,125,76,63,85,54,90,126,21,96,36,80,77,25,89,10,120,98,12,147,101, nziyo dzose idzi
dzinobva mubhuku yenziyo yeMethodist.Ndaipedza nzira yose ndisina kana kusangana
nemunhu
mumwe,zvandaifamba ndichiimba nziyo dzaMwari ndiri ndoga.
10.Zamanisheni rapakati pegore ra1935,ndakakoniwa kupasa masamhu.Ndakatanga kuenda
musango kundonamata.Ndakati kunaJehovha ,‘Baba,tarirai ndakoniwa chose kupasa
masamhu
murugwaro urwu rwechitatu.Saka Baba vangu,ndinokumbirawo kuti mundipe ndangariro
dzinogona kuti gore ropera ndigokwanisa kukunda dzose bvunzo dzezvidzidzo zvangu
zvose,kukunda vamwe vose murugwaro rwangu.Pakupera kwegore ndakawana samhu dzose
50/50.Ndakagona zvidzidzo zvangu zvose ndikava No.1, murugwaro rwechitatu.Ndizvo
ndakaenda kuna Jehovha ndikanamata nomwoyo unofara,nounokurumbidza ndichiti,‘Baba
vakanakisa, ndinokutendai kwazvo nhasi,uye ndinokurumbidza zita renyu zvakapetwa nokuti
muno rudo rukuru.Mandigonesa zvidzidzo zvangu zvose,mandiisa pamusoro-soro porugwaro
rwangu.Ndinokutendai Baba.
Mugore ra1936,ndichidzidza Std.IV paKwenda,ndakakumbirazve kuna Jehovha ndichiti,
‘Mwari
worudo rwose,ndiyamureiwo kuti ndiende kuchikoro chikuru gore rinouya ra1937.Munoziva
Baba kuti handina angandipa mari yokuenda kuchikoro kunze kwenyu.Saka Baba,taurai
naRev
Haworth wapano paKwenda,kuti andinzwire tsitsi,anditumire kuchikoro chikuru.Huyezve
Jehovha,tauraizve nomuEv Isaac Patsanza wapaKwenda kuti andiitire tsitsi,andiendese
kuchikoro chikuru.Mwari wakapindura uyu muteuro nokukurumidza nokuti pakati pegore
irori
muEv Patsanza wakauya kwandiri akati,Ernest,Mufundisi Haworth wati anoda kukutumira
Waddilove kundodzidza somuEvhangeri.Asi ini ndaramba ndichiti kwaari, ‘Kwete
Ernest,ndinoda kumutumira Domboshava kuti agosvika Std VII.’Ndaramba kuti uende
Waddilove nokuti ungangonodzidza Std.V chete,wotumirwa kunoita basa
mudunhu.Ndakapindura ndikati,Zvakanaka mudzidzisi,ndinotenda.Pakarepo ndakaenda kuna
Jehovha ndikati kwaari,‘Ndinokutendai Baba,nokuti makurumidza kupinda mumwoyo
mavaHaworth navaPatsanza,kuti vanditumire kuchikoro chikuru.Baba ndadzidza ndichaita
basa
rako reMwanakomana wako Jesu Kristu muAfrica.Pakupera kwegore ndakapasa Std .IV ndiri
No.1.Ndakaenda kuna Jehovha senguva dzose,ndikatenda kwazvo ndichiti,Mwari mupinduri
mukuru wemiteuro yevanhu vako,nhasizve ndinorirumbidza,zita rako.Ndinokukudza nekuti
wandiyamurazve,kuti ndibudirire muzvidzidzo zvangu zvose.
10.Zvino ndinovimba newe Baba worudo rwose.Ndichakunamata misi youpenyu
hwangu.Ndicharipa mbiri zita rako dzvene Jehovha nokuti wakarurama .Iwe chiramba
kutseketuka,mbiru youtare .Dande mutande,gavi rakatandira nyika,makomo
asingasakari.Ndatenda Jehovha Mwari wangu,zvino nokusingaperi,Amen.Ndakati kuna
muEv
Patsanza ,‘Mudzidzisi,honai zvino gore rapera uye kuti pano paKwenda ndapedza kudzidza
kuripo .Izvi zvinoreva kuti,mukuda kwaMwari,gore rinouya 1937,ndichava pachikoro
chikuru.Saka imi mudzidzisi,monyorera Domboshava sezvamafunga pamusoro pokudzidza
kwangu.Asi ini pazororo rino,raDecember 1936,ndomboenda kwaChirumhanzu
kwakaroorwa
hanzvadzi yangu.Zvichida ndichanotengesa mombe ikoko, ndowana mari yechikoro chikuru
yegore ra-1937.Kana ndanoshaya,ndinouya mondibatsira sezvamareva.Ndakaenda
kwaChirumhanzu ndikandoona mombe dzakaroorwa hanzvadzi yangu
ndikadzitengesa.Ndakawana mari yechikoro neyezvipfeko zvose.Ndichifamba ndoga
musango
kubva Holy Cross Mission,maChirumhanzu,kusvika Mvuma,ndaingotaura
naJehovha.Handina
kubatwa nekutya mumasango matema akadaro,kunyange ndaiva mukomana muduku
akadaro,Jehovha waiva neni nzira yose.Pamwe ndaifamba ndichiimba:-
Mufudzi ndiye Jehovha,
Wakandichengeta,
Kushaya hakungavepo,
Unovimba naye.
Pana mafuro manyoro,
Ndinodyisa napo?
Ndinorara nokufara,
Ndisingavhundutswe.
Unoumutsa nomweya,
Unouponisa,
Kururama ndova nako,
Naiye mufudzi.
Kana ndichifamba parima
Handingatyi chinhu
Nokuti iwe uneni,
Unondifarisa.
Chidyiro ini ndinacho,
Mberi kwavavengi,
Mafuta pamusoro wangu,
Handishayi chinu
Kururama nedzo tsitsi,
Dzinonditevera,
Pane imba yaJehovha,
Nokusingaperi.
13.Ndadzoka,ndakaenda paKwenda Mission ndikati kuna muEv
.Patsanza,‘Mudzidzisi,ndakandowana mari yechikoro inokwana gore rose.Iye
akati,‘Zvakanaka,asi ndakazopindurwa Domboshava vakati hakuchina nzvimbo yako.Zvino
ndakazonyorera Howard Institute,ndikapindurwa ndichinzi ungawana chikoro ipapo.Saka
mwana,wotogadzirira uende Howard muna January,1937 pakuvhurwa
kwezvikoro.Ndakati,‘Zvakanaka mudzidzisi,ndichaita izvozvo musimba raMwari.
14. Naizvozvo mwoyo wangu wakazadzwa nomufaro mukuru-kuru ndikakurumidza
kunotenda
kuna Jehovha ndichiti, ‘Baba, ndinotendazve kwamuri nhasi uno nokuti makandiwanira
nzvimbo
yechikoro paHoward.Chinditungamirai Ishe, kuti ndibudirire kuendako gore riri kuuya
iri.Ndakaimba ndakapfugama namabvi ndichiti:-
Nditungamire Jehovha,
Ndiri mufambi Ishe,
Unesimba ini handina
Ndashaya simba ini
O, Muponesi,
Ndiwe nhoo yangu.
15. Ndiwe nhoo yangu.Ndichiimba rwiyo urwu ndakazadzwa mwoyo wangu nomufaro
mukuru
wedenga.Nousiku ihwohwo, ndakarota ndichiona musha wose weHoward Institute,
ndichinamata muHoward Hall.
CHITSAUKO 3
ANOKOMBORERWA NAJEHOVHA ARI PAHOWARD INSTITUTE 1937-1940
1.Pakutanga kwegore ra1937,ndakabva kwaKwenda netsoka nevamwe vakomana tichienda
Howard nenhumbi dzedu dzose pamisoro.Shure kwamararo maviri takapinda muguta
reSalisbury
iro rava kunzi Harare parizvino.Ndiyo yakava nguva yangu yokutanga kuona musha mukuru
uyu
wechirungu.Takabva muHarare nechitima tikasvika pachiteshi chinonzi Glandel.Kubva apa
panoita mamaira 12 kusvika paHoward.Iyizve yaiva nguva yangu yokutanga kufamba
nechitima.Yaiva nguva yezhizha,kuchinaya.
2.Topinda muHoward ndakafara ndichiona musha wedzidzo huru wakadai.Ndaupinda musha
wandaishuva kudzidza mauri ,musha wedzidzo huru yandaida.Ndakakudza Jehovha
chinyararire
usiku uhwu hwose ndichiti,‘Mazviita henyu Baba vangu mandipinza muHoward,musha
wedzidzo huru yandaitsvaka.Mbiri ngaive kuna Baba noMwanakomana naiye Mweya
Mutsvene,Amen.Fume mangwana,takaripa mari dzechikoro tikapiwa dzimba
dzokugara.Mumunamato wamangwanani,muimba yaMwari paHoward,ndakashamiswa
ndichiona uwandu hwavasikana navakomana vedzidzo huru uyezve kuwanda kwavarairidzi
vachena,vakadzi navarume.Ndakafadzwa mumweya wangu ndichinzwa kuimba kwechirungu
kwavaiita,vachirumbidza Jehovha Wamasimba.Vamwe vasikana vairidza
tambareni.Vakomana
navarume noruzhinji rwavakadzi vairova maoko kana koimbwa korasi.
3.Samusha waiva Major Tabor,Headmaster waiva Major Lewis.Mudzidzisi wedu muStd V
waiva
murunguzve,Adj. Dolman.Ndakashamiswa nedzimba dzefundo dzakavakwa zvakanaka
kudaro.Mukati madzo nokunze,dzakagutsa meso angu.Saka ndakatanga kuenda musango
kundonamata ndiri ndoga.Ndakateura ndichiti,‘Jehovha Baba,ndava pano zvino.Ndinotenda
kwamuri Musiki.Zita renyu ngarive nembiri nenguva dzose.Zvinoka Baba,taurai naSamusha
VaTabor naMudzidzisi mukuru VaLewis kuti vandide,vandinzwirewo tsitsi kuti
vagondiripirawo
mari yechikoro gore rinouya.Onai iya yandakawana kwaChirumhanzu yaperera pamuripo
wegore rino yose.Haiwa Baba .Munofadza mweya wangu nokuita kworudo rwenyu
kwandiri.Muri Mwari unoshamisa.Ndinoisa muviri nomweya wangu paAritari yenyu nokuda
kweEvhangeri yomuchinda wenyu Jesu Kristu kuAfrica.Amen.Ipapo ndakatanga kuimba
kudzo
kuna Tenzi wava Tenzi ndichiti:-
Ndouya kuJesu,
Anondifarisa,
Ane tsitsi neni,
Panhamu yangu.
Ndouya kuJesu,
Ndinogofara,
Anoshovedzera,
Vaduku seni
Ndouya kuJesu,
Anonzwa kwandiri,
Anondida kwazvo,
Wandiyamura.
Ndouya kuJesu,
Anondibatsira,
Anditungamire,
Kunyika yake.
Ikoko kudenga,
Ndichava mutsvene,
Ndichaona Jesu
Muponisi wangu.
Uyu muteuro, Jehovha wakaupindura nokukurumidza nokuti negore
rakarero,1937,ndakatanga
kudikanwa chaizvo nasamusha vaTabor uyezve nomukuru wavadzidzisi,vaLewis.Ndiri
mutsva
kudaro,ndakaitwa purifekiti wechikoro.Vadzidzisi vose vakatanga kundida
zvikuru.Ndakatanga
kupiwawo nguva yekupinza minamato yamangwanani.Nezuva reSvondo,ndakapiwa nguva
yekuverengera vaparidzi vevarungu Bhaibheri.Ndaivazve ndichiturikira mharidzo
dzevarungu
vainge vasingagoni kuparidza nechiShona.Iri basa romumba yaMwari ndairiita norudo
rwose,ndizere noMweya Mutsvene.
4.Mumwe musi ndakashamiswa ndodaidzwa muhofisi yaHeadmaster VaLewis,umo
mandakawana muina maInspecter maviri,VaMertha naVaSmith.Ndapinda muhofisi
iyi,ndakabatwa nokudumbirwa kugara pakati pamakurukota edzidzo akadai.Asi vaLewis
vakati
kwandiri ,‘Usatya mwana,tarira,ava vaviri maInspector auya kuti ukumbirirwe bhezari
reBeit.Kana wariwana unopiwa 11 pounds pagore.Pamari iyi,2 pounds unoipiwa utengese
zvaunoda.9 pounds inenge iri yechikoro,dakara upedze dzidzo yako yose.(1 pound inoenzana
ne
$2) Saka vauya namapepa aunofanira kusaina kuti ugowana bhezari iri kana Mwari
ainewe.Ndakabvunzwa zita rangu nera baba,nhamba dzechitupa neDistrict nezvimwe zvose
zvakadaro.Ini ndaingopindura iwo maInspector achingonyora.Vapedza,VaLewis
vakati ,‘Zvapera.Saka kana waita mhanza yokupiwa iri bhezari,unozoziviswa gore rinouya
ra1938,madzoka kuzororo.Chibuda hako mwana.Ndakabuda muhofisi yaHeadmaster
weHoward
iyi ndichibva ndaenda kunzvimbo yangu yokunamatira kuzvikomo.Ndakanamata kuna
Mwari
ipapo ndichiti,‘Baba,ndazviona zvaitwa.Muchineni.Mamuri mune zvinhu zvose,dombo
rangu.Ndimi zvangu zvose,mune zvose.Mwari wangu, muriritiri wechirikadzi
nenherera.Munewe,vakachena nedota vanopfumbira savakazodzwa namafuta.Mwari uri
denga
rangu,mauri nhasi mwoyo wanyaradzwa.Iwe zororo rechokwadi.Zvinhu zvako nhasi
ndezvangu,nezvanguwo zvose ndezvako.Tiri mumwe chete Baba,iwe neni.handipo kana iwe
usipo,iwe upenyu hwangu,Jehovha wangu.Ndianiko wangu mudenga kunze kwako?Iwe
dombo
pandakabva,chiva neni narini-Amen.
5.Takatangisa kugadzira vaimbi venziyo dzaMwari,Aggripa Mapele naLeman Dani
naSamuel
Dune navamwe vakadaro.Takatanga tichiimba muimba yaMwari.Saka nekudaro nguva
nenguva
vaparidzi veShoko raJesu,vaiva vachikumbira kuti tivaimbire nziyo dzomweya muimba
yaJehovha.Tichiimbira Mwari imomo,mwoyo yavazhinji yainyongodeka nokuti taiimba
zvinosiririsa,tiri mumweya waJesu Kristu Tenzi wedu.Nguva zhinji neSvondo taikumbirwa
kuimbira vaKristu mumba yaJehovha.Nokudaro Mwari wakaropafadza mweya wangu
zvikuru.Pakupera kwegore ra1937 ndakawana bhezari rechikoro 5 poundsAsi Headmaster
wakati,‘Hona mwana,ungachengeta pepa iri re 5 pounds kwenguva ino takamirira kupera
kwegore.Asi kana wazowana bhezari reBeit pakuvamba kwa1938,5 pounds topa uyo anenge
akutevera pakukunda kwamaita Std.V.Ndakati,“Zvakanaka mudzidzisi.Ndakakudza Mwari
senguva dzose.Chikoro chakapfigwa tikabva taenda kumisha yedu.Zvatakanga tave
muzororo,tiri
pamuchato waTitus Mharapara naNelly Muzengi,ndakashamiswa mumwe mupfumi wainzi
Gamarieri Gwena achiti kwandiri,‘Mufana, ndinoziva uri munhu ane nhamo uye uri
pachikoro
chikuru.Kana muchato uyu wapera,usvike nokumusha kwangu kana wakuenda
kumusha.Ndine
svutu yandinoda kukupa.Ndine svutu zhinji nokuti ndaisevenza kuShabhini,usagare.Ndakati
kwaari,‘Ndichauya,ndatenda.’Ndakasvika kumba kwomurume uyu ndikapiwa svutu
iya.Ndabva
apa,ndakaenda kuna Jehovha mufukidzi wevakashama,ndikamutenda chaizvo.
6.Gore ra1938 paHoward kwandiri rakave gore rezvikomborero zvizhinji.Ndakawana
Bhezari
reBeit remari inoita 11 pounds,ndikapiwa 2 pounds poketi mani.Mukoma Hugo Mache
wakanditumira mari ndikabva ndatenga bhasikoro idzva.Pakupera kwegore ndakava No.1 mu
Std .VI ndakapiwa mbasera yewachi yemuhomwe.Dai ndakanga ndisina bhezari
reBeit,ndingadai ndakapiwa bhezari rechikoro rinoita 5 pounds.Saka ndakanyanyisa kutenda
kuna Mwari,Jehovha,muropafadzi wavose vanovimba naye.Ndakaramba ndichinamata
Mwari
musango ndiri ndoga.Mumwe musi mambakwedza ndivete mudhomatiri
paHoward,ndakanzwa
izwi richinditaudza richiti, ‘Paul,muka tinamate,Paul muka tinamate.Ndakapepuka kuhope
ndichiti mumwe wavadzidziswa wandimutsa.Asi ndakazoshamiswa ndichiwana ava vose
vakakotsira.Ndakavamutsa vose ndichivabvunza kuti zvichida mumwe wavo
wandidaidza.Asi
vose vakati,‘kwete.’Saka ndakaziva kuti ndiJehovha wakanga andimutsa kuti
tinamate.Takamuka
tose tikapfugama mudhomatiri redu,tikanamata Mwari.Kudaidzwa uku ndiko kwakaitwa
kuna 1
Samueri 3:4-10.Mumwe wavadzidzi ava ndiRuka Chidavaenzi uyo wandakambosangana
naye
kuzvikomo.Ndakati ndasvika panzvimbo yangu kuti ndinamate,wanei iye wavapo,ndikati,Ko
unodei pano musango?Akati , ‘Ndauya pano kuzonamata Mwari.Ini ndikati, ‘Neniwo ndiyo
nzvimbo yangu pandinonamata Mwari nguva dzose.Kubvira zuva iroro dakara ndichizobva
paHoward ndodzidzisa pakupera kwa1940,taiva tichinamata pamwechete naChidavaenzi.Iye
nhasi murume uyu ari muchurch yeApostolic Faith of South Africa.Saka Jehovha wamasimba
ose wakandidaidza nezita rangu paHoward mugore ra1938.
7. 1938 dakara 1940,Mweya waMwari wakandibatsira chose muzvidzidzo zvangu muchikoro
chokudzidzira udzidzisi.Ndaiti kana topinda mukirasi kundonyora zamanisheni,ndoimba
karwiyo
nomuridzo tichiri pavharanda,ndozadzwa noMweya Mutsvene.Ipapo ndaitanga kunzwa
rufaro
runoshamisa uye ndovhenekerwa nechiedza chizhinji,ndangariro dzotanga kushanda
zvizhinjizhinji.
Zvino pakupinda mukirasi, ndotarira pamibvunzo yatainge tapiwa,ndaiwana mhinduro
dzose dzemibvunzo dzichiiswa pachena kwandiri.Saka ndaizopindura mibvunzo yose
ndakavhenekerwa noMweya waMwari.Nokudaro ndakazopedza ose magwaro angu
paHoward
ndichitora No.1.Pakugara kwose somwana wechikoro kwamakore mana paHoward,ndaidiwa
nokukudzwa navanhu vose veHoward,vadzidzisi vachena navatema navadzidzwa.Izvi zvose
zvakadaro nokuti Jehovha waiva neni.Pakupera kwedzidzo yangu,muna 1940,ndakaenda
kundonamata kuna Jehovha ndichitanga kuimba musango ndiri ndoga:
Chivimbiso chakanaka,
Chakapiwa naMwari
Kumufambi wakaneta,
Ini ndichakutungamira.
Ndotungamira, ndotungamira
Ndotungamira nameso angu
Nzira yose yokudenga,
Ini ndichakutungamira.
8.Ndakapfugama namabvi ndikanamata kuna Jehovha ndichiti,Mwari wamasimba
ose,muvaki
wedenga napasi,mwene wezvinhu zvose zvirimo mudenga nezviri panyika
pasi,ndinokutendai
nhasi kuti munogona kutungamira nokuchengeta vanovimba nemi vose.Baba vamarudzi
ose,Mwari asingasarudzi,wakadzidzisawo ini nherera,nyamba ndina Baba mauri.Ishe,uri
dombo
rangu randinowana zororo mauri.Honaka Jehovha ,nhasi mwoyo wangu wanyaradzwa.Chido
changu wachigutsa.Ndinotenda.Dzidzo yandakakumbira kwauri wakandipa.A!
Mwari,unogutsa
vasina nezvakanyanyisa kunaka.Uri denga rangu, ndinokuda Mwari.Uri rwiyo rwangu
Jehovha.Unofadza Mweya wangu.Saka zita rako nhasi ngarikudziwe kwazvo,iwe
chiwanikwe,Chidza chapo,chitanga kugara.Makomo
asingasakare,chirambakutseketuka,mbiru
youtare,dandemutande,gavi rakatandire nyika.Zvino chinditumira kubasa rako uko ndava
kuzoenda.Ipapo Ishe wakataura neizwi rake achiti, ‘Ndauya tarira ndinewe mazuva ose
dakara
pakuguma kwenzira yako.Usatya.Tarira ndinewe.
9.Pakati pegore ra1940,ndichidzidza dzidzo yokupedzisira udzidzi hwangu,Ishe Jesu
akandipa
chiratidzo chokusikwa kweAfrica itsva.Zvakaitika kudai ndakaona denga rapukutwa
nechapamaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva(North/East)pakanyorwa nemavara
makuru
kuti,“RECREATION OF AFRICA”.Padzima,ndakanzwa izwi raJehovha richiti kwandiri
zvine
simba,‘Nyorera vana vari kuma University kuti vagozokubatsira mubasa rokusikwa kwenyika
itsva Africa iyi.Izvi ndakazvinyorera kuRhodesian Herald ndichiti,GOD HAS SET UP PLAN
TO RECREAT AFRICA.VeHerald sezvo vaiva norusaruraganda pakuburitsa zvinenge
zvanyorwa navanhu vatema,vakazoendesa nyaya iyi kuBantu
Mirror,zvikatsikiswa,zvikaverengwa munyika zhinji.Nokudaro vamwe veReaders Digest
Magazine,vakandinyorera vachiti pamusoro penyaya iyi,vanoda anonyorerana navo,asi
Mweya
Mutsvene haana kunditendera kuita izvozvo.Uye Baba Kiripisi
waMarondamashanu,kuChivhu,wakandinyorerazve pamusoro pazvo achiti anoda kugara
achinyorerana neni nezvenyaya iyoyo.VeBantu Mirror vakati nyaya iyi vakaisa pasi kuti
vagocherekedza zvinhu izvozvo.
CHITSAUKO 4
EVHANGERI YAJESU INOTANGA NOKUPARIDZA KWAKE 1941-1942
1.Pakupera kwegore ra1940 muna December,ndakatumwa kundodzidzisa paGweshe,mamaira
matatu kubva paHoward.Mumwedzi iwowo,vafundisi vachena vakanditakura nemotokari
vakasiya vandiisa pachikoro chakanga choda kufa ichi.Pakanga pasisina imba yokugara.Imba
yomudzidzisi imwechete yaivapo yakanga yapazika.Dzimba dzokudzidzisira vana pakanga
pasina.Vana makumi mashanu chete,vaiva pachikoro ichi,vaidzidzira muchechi.Saka ndasiwa
apa,ndakatakura nhumbi dzangu ndikasanogara mumba maMurimisi Chivizhe,yaiva
chinhambwe chipfupi kubva pachikoro ichi.Ndakakumbira kuti asanondichengeta mumba
make
ini ndichisanogadzira kamba kokugara pachikoro.Wakanditendera ndikagara naye zororo
raDecember rose.Mumwe musi ndakanga ndoramba zvekugara pachikoro ichi nhamo
zvayakange yandirova.Zvakaitika kudai.Ndakabva pamba paChivizhe ndokuchienda
kundoona
muparidzi.Ndakati kwaari, ‘Honaka munhu waMwari,ndakasiiwa pano navafundisi
neSvondo,zuro kuti ndive mudzidzisi pano.Asika hapana imba yokugara kana yechirango
zvayo.Iye akapindura achiti,’Hongu mudzidzisi,imba pano hapachina,yaigara mufundisi
waiva
pano,VaHondoyedzombe yakasakara.Bva pane kamba katakatanga kuvaka,asi hakati
kapfirirwa,sezvamakaonawo nezuro zvamakasiyiwapo.Ndakati ,‘Zvakanaka muparidzi,asika
tarira tinofanira kukapfirira nokukurumidza nokuti handina pokugara nyangwe.Unoziva here
kuti
izvozvi ndiri kubva kwavamurimisi Noah Chivizhe?Vakabvuma kuti ndisanowana pokugara
mumba mavo.Takaenda musango tikaponora makavi,tichibva tavamba kupfirira kamba
kaya.Zuva rovira,muparidzi wakaenda kumusha kwake,ini ndikaenda kwaChivizhe.Fume
mangwana kwaedza ndakaenda kuchikoro kundopfirira.Asika ndakashaya wokundisvitsa
uswa
namakavi.Saka ndaitanga ndahwukwidza pamba,ndozokwira ndopfirira.Ndakaita izvi
mangwanani ose.Zvino ndakatanga kurangarira ndiri pamusoro pekamba aka,apo makavi
nouswa zvakanga zvapera,uye zvapakanga pasina umwe pasi wokundisvitsa ndichiti,’Ko
chaizvo
ini ndiri kutamburira chii kudai?Vamwe vangu vakatumirwa kuzvikoro zvakavakwa
kare,vamwe
vakaiswa kuti vadzidzise muHoward chaimo.Ini ndini ndoiswa mudondo rakadai kuti
ndizvivakire imba yokudzidzisa ndichigara kunge ndauya kuzopinda basa remaricho
okupfirira
imba?Handisini here ndakapedza zvidzidzo zvangu zvoudzidzisi ndichigona kukunda vamwe
vangu vose? Muf. Haworth vanondida kwazvo kuti ndinodzidzisa pachikoro chikuru
chapaKwenda Mission.Kuswerotambura zvakadai? Ndoburuka ndichizvitorera makavi
nouswa,
ndokwirazve ndopfirira, ndoburukazve.Kuvavarirei chaizvo? Ndichafunga kudaro, ndiri
pamusoro pekamba aka mashoko okudenga andakanga ndadzidza nomusoro, akakurumidza
kuva
pamwoyo wangu, ndikataura ndoga ndichiti,
Mweya washe, uri pamusoro pangu
Nokuti wakandizodza kuti ndiparidzire varombo Evhangeri
Wakandituma kuti ndizivise vakatapwa
Kusunungurwa kwavo
Namapofu kuti vaonezve
Ndiregedze vakatsimbirirwa
Nokuzivisa gore rakanaka raShe.
2. A! Mwoyo wangu wakatanga kuzara nomufaro norugare runoshamisa.Ndakati,‘Ndivo
varombo ava vandinonzi ndiparidze mashoko okudenga kwavari.Ndakanamata
ndikati,‘Honaka
Baba,ndava pano kuti ndiite kuda kwako.Mwari wangu ndisimbise kuti ndirege
kuzununguswa
nechiro chipi nechipi zvacho.Ndinopira muviri nomweya kunewe,uzvishandise mubasa
rokuponiswa kwavanhu vako,varombo namapofu eAfrica.Amen.Ndakatanga kuenda pasi
ndokutora uswa namakavi,ndokukwira pamba pakare,kwava kupfirirazve kamba aka.Kakare
ndokuzogara makari.
3.Ndakatanga kufamba mumisha ndichitaura navabereki navana paimba imwe
neimwe.Ndakataura navo ndichivaratidza runako rwedzidzo norunako ruri muna
Mwari.Kushamisa kukuru kwaJehovha, ndakadaidza musangano wavabereki,ndichibva
ndanyora
vana vanokwana 160,nyamba chikoro ichi chainge china vana 25 chete pakusvika kwangupo.
Ndizvo ndakamhanyira Howard ndikaudza Muf. Mukuru zvinhu
izvi.Akati,‘Zvakanaka,ndichakupa vamwe vadzidzisi vaviri.Mumwe wavo ndi George
Makuzva ,anobva kwaKwenda.Anosvika pano zvino zvino.Saka ndichakutumira
kwauri.Mumwe
ndiJeremiah Marufu wopa Gweshe,wakapedza dzidzo yake pano paHoward
nhaka.Ndakatenda,ndokudzokera.Zvino George Makuzva auya,takatanga kufamba mumisha
tiri
vaviri tichiparidza evhangeri yaJesu.Taiti kana toimba nziyo dzedu dzeWisiri,vanhu vazhinji
kwazvo voungana,toparidza mashoko okudenga kwavari,nemisodzi.Nokudaro vanhu
vazhinjisa
varume navakadzi,vakomana navasikana,vakatendeukira kuna Jesu.Rwiyo rwatainyanya
kuimba
mumvuserere iyi ndourwu:--
Mumhanzi uri kudenga,
Kana kozoridzwa iwo,
Nokuriridza kukuru,
Kana kozonzwika iko,
Kuparure namakuva,
Kutsemure napanyika.
Negunngwa rinovabisa,
Ivavo varakamedza,
Nenyika inovabvisa,
Vose vakanga vavigwa,
Vamukire pano rufu,
Vanoenda pakutongwa.
Vati ivo vakafira
Pane zvakaipa zvakaipa zvavo
Nenguva yavanoona
Ichocho chityiso chavo,
Vawe vose pane gomba
Vakandirwe pano moto
Ndivo vakanaka vega
Vanopona noyo musi,
Ndavakatongerwa vega,
Vanozopinda kudenga,
Vaine mibayiro yavo,
Vaina Mponisi.
4.Nomusi weSvondo, imba yaMwari yakatanga kuzara navanhu vazhinji vaiuya kuzonzwa
nziyo
dzaMweya Mutsvene nevhangeri raKristu.Zororo raDecember 1940 rakapera tikapinda
mugore
ra1941.Ndizvo takati tozarura pakutanga kwegore iri,vana vakazowedzerwa ndokukwana
196,Jeremiah Marufu achibva ava nesu.Saka kokutanga panzvimbo iyi takava namagwaru
mana,Sub .A,Sub.B,Std.1,Std .11.
5.Pakati pegore ra 1941 ndakasangana nesimba guru raMwari.Zvakaitika
kudai.Ndakashanyirwa
naMai naBaba Sinamano,veEpworth Mission.Vaienda kundoona mwanakomana wavo
waidzidzisa pane chimwe chikoro muruzevha rwakarerwo rweGweshe.Zvandakanga
ndakatandara navo,takatanga kukurukura nezvaMwrai.Vakandirondedzera nezvebasa
reevhangeri raKristu raiitwa noMuEv Marwodzi.Pakati penguva ndakabatwa nesimba
raMwari
sendabatwa nechikirimbani,zvavakanga vataura shoko rokuyamukura.Ndakapedza vhiki rose
ndizere noMweya Mutsvene,Ndisisazivi kuti ndiri munhu.Ndaiti kana ndikapinda mumba
yaMwari,ndikanamata,imba yose yoera chaizvo.Kwaizoti kana vanhu vopinda,vonzwa kuti
vava
mumba yaJehovha.Ungano yaizoimba zvinoshamisa kunaMwari.Ndoparidza Shoko
rokudenga,vanhu vouya pamberi,voputsika nesimba,vane mweya yetsvina vainatswa.Hembe
dzikapera kubvarurwa namadhimoni aibuda muvazhinji vakatenda Shoko.Vose vakaponiswa
vakagara musangano raJehovha kwenguva yose yandakagara panzvimbo iyi.Kwakanga koti
kana
kana samba randibata zvakawanda ndotaura kunge ndini Mwari.Vamwe vanhu vakati ndava
kupenga.Izvi ndizvo zvimwe chete zvakaitwa kuvapostora musi wePentekosta.Mabasa
aVapostora 2:12-16 Saka nokudaro vakadaidza VaAndrew Midzi,waiva mukuru
wamadhumeni,vachigara paRosa.Uyu murume vaiziva kuti ndowokuno kwaKwenda.Vakati
kwaari,‘Huya uone zvava kuita mumwe wako pano.Mudzidzisi Mwazha wava
kupenga.Arikuti
ndiye Jehovha pose paanenge abatwa noMweya.Ndizvo vaMidzi vakasvika ndokuwana
ndaburitsa chikoro,pakudeuka kwezuva,wanei ndizere noMweya waMwari.Vachitanga
kutaura
neni zvinhu zvoushe hwokudenga,vakanzwa saizvozvo,ndichitaura sandini Jehovha.Ipapo
vakatanga kundiratidza chaizvo kuti,‘Kwete hazvizombofa zvakaitika ,kuti munhu ave
Mwari.Iwe ndiwe Mwazha,chete kuti masimba aMwari ndiwo awanda mauri.Akabva
aenda,sare
ndakangodaro .Izwi rangu rakatanga kuva guru chose,kuziva nokuda Mwari kukanyanyisa
kuwanda mandiri.Vanhu vakawandisa vakaramba vachiuya kumba yaJehovha
vachingotendeuka
kuna Mwari.
6.Easter ya 1941 yakava vhiki ine mbiri huru youMwari paGweshe,muChiweshe kuMazowe
District.Takapedza vhiki yose tichinamata mumba yaMwari usiku humwe nohwumwe
kuchiedza.Usiku hwazofuma yava Easter,ungano yakagamuchira masimba aMwari
makurusa.Vazhinji vairwara navaiva namadhimoni vakaponiswa.Vafundisi
veHoward,vachiona
basa iri raIshe Jesu rinoshamisa,vakataura vachiti,’Ngatinamatire ticha Mwazha kuti Mwari
vamurwire pamiedzo nokuti basa raakapiwa naShe iguru.Takapedza gore rakanaka
naShe,1942
akavamba.Takavamba kuinda panzvimbo tsva patakanga tavaka chikoro chitsva
kuminda.Takatanga chikoro zvino navana 250,vadzidzisi vashanu.Takapiwa rugwaro
rwechitatu.Mugore iri,Mweya waJehovha wakabata basa zvikuru vanhu
vachitendeuka.Nerimwe
zuva ngirozi yaShe yakasvika kwandiri ari masikati tichangobudisa vana
vechikoro,ndokusvikomhara pamberi pangu ine mhumhu wemwana ava kutanga kupinda
chikoro ikati,‘MWANA,UNODA PFUMA HERE? Ndakati,‘Kwete ndinoda chichi
panzvimbo
yepfuma kuti ndivake kereke yaKristu.Saka ngirozi yakabva yaenda ndokupa chipo ichi
chepfuma kumunun’una wangu Elijah 1 Madzimambo 5:5-12
7. Negore rakare, Mwari wakandiratidza kuhope ndakatungamira vanhu vazhinji vakapfeka
nguo chena (garments).Vakanga vaine bhuku dzenziyo mumaoko avo vachiimba nziyo
dzaMwari vachifamba vari mumitsetse tichienda kumusoro.Ndainge ndichifambawo ndiri
parutivi rwavo,ndokubva tatapa imba huru yavaitiridzira pfuti dzichikoniwa
kutipfura.Pakupera
kwegore iri ndakadzoserwa muHoward C.P.S.
CHTSAUKO 5
ANOGARA PAHOWARD SOMUDZIDZISI NOMUPARIDZI 1943-1948
1.Pakupera kwegore ra1942 paGweshe,Mwari wakandipazve chimwe chiratidzo chokuenda
mberi kwangu mubasa reevhangeri yake pagomo.Pamusoro paro paiva neshongwe yebwe
yakareba kuinda kudenga sepira.Ndakakwira shongwe yedombo iyi dakara kusvika
panhongonya
yaro mudenga denga.Ndakadaidzira ndichiti Alleluah for God Omnipotent Reigneth!
(Areruya,Mwari wamasimba ose anobata ushe).Ndava paHoward 1943,Mwari
wakanditumirazve
chimwe chiratidzo chokundidaidza kwake kuti ndibate basa rake reevhangeri
yoMwanakomana
wake Jesu.Zvandakanga ndivete mumba mangu,kwakauya ngirozi mbiri,imwe neimwe iine
mbiya yegoridhe,izere namaruva akanakisa .Imwe yakanga iri kumusoro kwangu,imwe
kumakumbo,ndisina kutsika pasi.Dzakatarisana neni,imwe neimwe ichipereka mbiya yayo
yamaruva kwandiri.Zvakaitika kudaro kwekanguva,dzakatarisana neni
kudaro.Ndakazopfugama
ndichinamata ndoti,‘Baba vangu,ngazvive hazvo sokuda kwenyu,nokuti ndiri wenyu
chose,nemi
muri wangu.Amen.
2.Mugore ra1944,Jehovha wakandisimbaradza chaizvo kuti ndiregezve kuzotya
munhu,nyangwe,asi kuti ndivimbe naye chete,iye dombo rangu.Usikuihwohwo ndakaona
mhandu dzangu mbiri dzavanhurume dzichiuya kwandiri kuti dzindiite
chakavandika.Ndakafamba ndichienda kumabvazuva.Idzo dzakauyawo shure
kwangu.Ndakayambuka karukova ndichida kupinda mumusha waivapo.Ivo vakayambuka
kakova aka.Zvino kudenga kwakabva dhishi regoridhe,ndokumhara pamberi pangu.Ruoko
rwune uchena hwunenge zuva rovira rwakabva kudega
ndokundibata,ndokundisimudza,ndokundiisa mudhishi.Dhishi rakabva rabhururuka neni
kuenda
kudenga .Ivo vakauya vakamira vava paya pakanga paine dhishi,vakatarisa mudenga umo
ndakanga ndava.Zvino dhishi riye rakaburuka neni richienda zasi ndokundomhara padombo
refu
refu,guru chose.Ivo vakafambawo vachitevera vari pasi,ndokusvikomira vari pasi pedombo
iri.Vakatarira pandaivari.Ndizvo dhishi rakasimuka neni richienda kudenga
nechemabvazuva,kusvikira ndisisavaoni,Ndakanamata Mwari ndikati,’Ndatenda denga
ramatenga,ruoko runesimba,nhare,yangu,dombo rangu.Uri utiziro hwangu Tenzi
wangu,zvino
nokusingaperi-Amen
3.Negore ra1945,vamwe vesangano rokunze kweHoward ,vakarangana mazano
okundiparadza,asi Ishe wakandibatsirazve saizvozvo.Muchiratidzo ndakapinda muimba
yaMwari
mainamatira vanhu ava.Pakubuda,zvavakanonga mabwe kuti vanditake,ruoko rwakabva
kudenga
ndokundinonga,ndiye togo neni kumusoro kwedenga.Vakandishaiwa zvakadaro.
4. Ndakatendazve ndichiti, ‘Mbiri nokukudzwa ngazvive muruoko rworudyi rwaWamasimba
ose.Ruoko runogarondibata, ruoko rune samba runondirwira.Ndinarwozve ruvimbo kuti irwo
ruoko ruchandizarurira mumasuo makuru oupenyu hutsva-Amen.
5. Ndakaona Ishe wedu Jesu Kristu akagara pagore pamabudazuva, mugore ra1946.Wakanga
akatarisa munyika ino saari kuuya kwatiri.Zvakaitika kudai.Chizaruro chakavhurwa
ndichibva
ndaona ndav pakati penyika ino.Ipapo ndakaona ndava mumunda uzere nembeu
dzaingodyiwa
neshiri neshiri nemhuka nezvipfuwo pasina unokohwa.Inindakarwadziwa mwoyo chose
ndichti ,‘A! vanhu havana tsitsi Seiko kurega mbeu dzakadai dzichingoparara?Kamwe
kamwe
ndakaona varume vaviri vachikanyaira vachienda mabvazuva.Vakasvika nomumunda umu
pandakange ndimire. Ndakabatana pamwe navo ndokumhanya tichienda
mabudazuva,ndokuchiona Mambo Jesu Kristu vagere vakatarisana nesu.Ipapo,takanyanya
kumhanyira kwaari tichidaidzira tichiti,’Ishe ngaakudzwe.Mambo ngaakudzwe,bva iye
Mambo
wavamambo wakaramba akangogara pagore iro akatarisana nesu,murunako rwake
runoshmisa,nomusimba guru routsvene hwake,nechiremera choukuru hwembiri youshe
hwake.
6.Shure kweichi chizaruro chikuru choushe hwaMwari,ndakanamata ndichiti,’Mbiri kuna
mambo Jesu,iye Ishe wamadzishe.Ndachitenda chiso chinondigamuchira,murume achandida
nowandichada nokusingaperi,ruoko ruchandizarurira masuo makuru oupenyu hutsv.Saka
ndaiona
mbiri yokudenga ,nyeredzi inopenya ,nyamasase yamambakwedza.Uri zuva rangu Kristu,
mucheki wavanhu vose,Mwari wavamwari.Iwe wakasika denga naBaba muri
vaviri,makapinda
pabasa roruponeso rwapasi rose muri vaviri.Ndinokupa mbiri yakapetwa.Gwayana raMwari
Baba,ropa rine samba.Wakasunungura isu pane zvakaipa.Kwaziwaika Mambo Jesu,nyeredzi
yeAfrica.Rudzi runokuchingamidza.Rwati iwe uri Tenzi.Mauyazve mMuponesi,mashanyira
Africa.Femerai Mweya Unoera pamusora payo.Ndizere noMweya Mutsvene ndakaenda
mberi
nomunamato ndichiti:-
Africa munda wenyu Jesu,
Waibva, washaya vakohwi.
Zvipfuwo nemhuka zvongodya,
Mweya yavakarasika,
Mweya yavanoda Mwari,
Vashaya vabvuvi vesimba
Jesu timutsire nhume
Imutse, vabvuvi vemweya;
Vamutse mweya yavakavata,
Munyika yako Africa
Tamirira vhangeri yomweya,
MuAfrica nyika yako Tenzi –Amen.
7.Saka ndakabereka vana vangu vatatu paHoward vose ava vakatumidzwa mazita
naShe.Mukuru, Ngoni,wakaberekwa June 1944;wechipiri,Kushamisa ,wakaberekwa June
1946;wechitatu,Farai,wakaberekwa October 1948.Pakupera kwa1948, ndakabuda basa
rokudzidzisi paHoward Practising School ndichiuya paChideme muKwenda Circuit.
CHITSAUKO 6
ANOSVIKA PACHIDEME ARI HEADMASTER NOMUEVHANGERI 1948---1951
ANOZVIPIRA KUNA MWARI NOMUNAMATO
1.Ndakasvika paChideme Primary School muna December 1948 nomukadzi wangu Esther
nomwanasikana mumwechete Rudo Nelly navanakomana vatatu,Ngoni Edward naKushamisa
Alfred naFarai Joseph.Chideme iri muCharter District kuChivhu.
2.Ndakaenda kumasowi ndokunamata ndichiti,‘Baba wangu uri kudenga,ndava pano
paChideme
School,muno muKwenda Circuit kuti ndibate basa roudzidzisi nouvhangeri.Chiuyai zvino
Baba
muchigara neni pano nemhuri munditungamirire pakushanda kwangu kwose.Ishe
,urikukwanisa
kwangu nokukwanisa kwangu noupenyu hwangu,buruka pano zvino nesimba rouMwari
hwako
Musiki,muchengeti nomuriritiri wavanhu vako.Pamazuva ose okuva kwangu pano nebasa
renyu
nemhuri yangu yose,ngatikomberedzwe nenyasha senhoo.Ndinotenda mauya Musiki, zita
renyu
ngarirumbidzwe,Mwari makanaka,munofadza mwoyo wangu chose.Ishe ndinokuda zvino
nokusingaperi.Amen.Ndakadzokera kumba tikazvigadzirira kugara pachikoro ichi.Takatamba
kirisimisi zvakanaka negore dzva ra1949.Muna January gore iri takagadzirira basa rose
rechikoro
kusvikira chichivhurwa.
CHITSAUKO 7.
BASA RECHIKORO NECHIKORO RINOTANGA.
1. Takava navana vakakwana navadzidzisi vakaringana.Ndakafadzwa nebasa rechikoro rose
gore
rose. Uye basa rechechi rose ndairida zvikuru, rikandifadza zvakawanda.Ndakatanga kutenda
Mwari pamusoro peizvi zvose.Ndakazokasira kufamba nemisha yose yakapoteredza ndichiita
minamato navanhu Mauro.Ndainge ndichifamba navanhu vashoma vainge vachida
Mwari.Vamwe vacho ndimukoma mudiki wainzi Magweta nababamunini vake vainziMekiya
Mugonda.
2.Muminamato iyi Mwari waizoimbirwa nziyo zvinoisvofadza kunzwa uye zvichimutsa
mwoyo
yavanhu kuti vade Mwari.Evhangeri yaiparidzwa zvichipinda mumwoyo yavanhu,zvakaitika
kuti
musi weSvondo vanhu vazhinji vaiuya kuchechi,imba ichizozara.Hongu imba yaMwari
yakatanga kuzara navanhu svondo imwe neimwe.Kwaiti kana kwoimbwa muimba yaMwari
paChideme mazuva aya,hongu,waiti Ishe waburuka kudenga.Vanhu vazhinji vaipedzisira
nokuuya kuAritari yaMwari vachizvipira kuna Jesu,mudzikinuri nomuponesi wavo.Nokudaro
vatendi vazhinjisa vakaramba vachiwedzerwa kunaShe.Ini ndakarumbidzazve Mwari
pamusoro
pazvo zvose.Ndikati,‘A Mwari makanaka,munogutsa mweya wangu zvino norugare rwese
rwedenga.Zvinogutsa mweya zvavamo muimba yenyu-Baba.Uye kuimba kwamaisa nhasi
muimba yenyu ndinokuda,kunondinyaradza.Mwari makawedzerazve uwando
hwavanoshumira
nokupira zita renyu muimba yenyu panzvimbo ino.Saka ndinovimba kuti muchasimbisa izvi
kusvikira zuva rokudzoka komuranda wenyu Jesu .Amen.
3. Gore ra1949 rakapera tikatanga gore ra1950 zvakanaka.Mabasa ose echechi neechikoro
akafambira mberi gore iri.Muneri waiongorora mabasa echechi neechikoro,
VaRev.M.Wright,
vakafadzwa nebasa rose panzvimbo iyi.Mugore iri mukadzi wangu wakabatsirwa mwana
musikana akamutumidza zita rinonzi Tsitsi Loveness.
CHITSAUKO 8
KUDAIDZWA KUNOBVA KUDENGA
Muvhiki reEaster, Mwari wakakurumbidzwa zvikuru, vatendi vazhinji vakasimbiswa.Gore
rapera, tazova muna 1951, ndakanzwa usiku ndivete izwi richiti kwandiri, ‘Ndianiko
watingatuma, ndiani angatiendere? Kwazoedza ndakaenda kumba kwa Rev.Chidarikire
ndikarondedzera kwaari chizaruro ichi. Akati kwandiri,‘A,ndinofunga zvinoreva kuronga
kuri
kuitwa pamusoro pako naRev.M.Wright.Arikuda kuti iwe uende kundodzidzira basa
roufundisi.Zvino ndakazoenda kumasowe ndokunamata kuna Mwari
ndichiti,’Baba,ndakarinzwa
izwi renyu usiku richiti kwandiri,Ndiyaniko watingatuma,ndiani angatiendere?Sakaka zvino
ndauya.Ndauya kuti ndiite kuda kwenyuMwari wangu.Imi Baba munoziva chido change
nguva
dzose kuti,ndechokuti dai mandiita muranda wenyu,matondituma neizwi renyu kuvanhu
veAfrica kutanga uye kupasi rose kana kungava kuda kwenyu ,Musiki,kuti vanondiona vaone
imi,vanonzwa izwi rangu vanzwe izwi renyu.Amen.Uku ndiko kudaidzwa kwakafanana
nokwaIsaya Mupofita naJeremiya:
Isaya 6; 1 -8
Jeremiya1:5-10
CHITSAUKO 9
KUKWIDZWA KUDENGA RECHIPIRI
1.Usiku uhwo ndabva kumasowi, Mwari wakandiitira chinhu chikuru.Zvakaitika
kudai,ndakabhururuka ndichienda kumabudazuva.Ndakadzoka ndichibhururuka ndichienda
kumusoro kwakadziva kumabudazuva,ndokuchiona rukova rukuru rune mvura yakagarana
zvakanaka rwava mberi kwangu.Ndakarubira ndiri mumhepo ndokuona ndava pakaguma
nyika,rangove dombo rakapfiga kose kumabvazuva.Ndakazoona kwazarurwa musuo webako
rokudenga,ndokuchiona kuchiburuka chinhu chinenge zengwete.Ndakanamatidzwa
pariri,ndokubva rokwira neni kudenga nomukati mebwe iri richiti kererere.Ndakazoona zvino
ndatova mune imwe nyika iri pamusoro peino,ndichiona rimwezve denga rava kumusoro
.Apa
zvino ndakanga ndangomira pamusoro pechiya chinhu chandakanamatidzirwa pachiri kuti
chikwire neni.Chakanga chaita sedenga remba yeraundi.
2.Ndakamira ipapo ndichiona nyika itsva yakanakisa ,ino uswa hunyoro hwakasvibira,nemiti
yakanakisa ina mashizha akasvipira,nokuona maruva kose kose emhando
dzamarudzi,norunako
runokosha nedenga pauzuru rino upfumbu hwakapfava.Kudenga kwakabva zvisikwa
zvina,zvinamapapiro ndokusvikoti mha kumhara paya pandaiva ndimire
zvakandikomberedza,zvikataura mutauro nomutauro unenge usiri wavanhu.Chiya
chandakanga
ndimire pachiri pakati pezvisikwa izvi zvina,zvine zviso zvavanhu,nomumhu yezera
ravakomana
vofanira kutanga kupinda chikoro,chakakotama kumabvazuva ndokundiisa panyika
iyi.Ndakafamba ndichienda mabvazuva kanhambwe kaduku,ndokuchigopfugama
ndokunamata
ndakatarira kudenga,mabvazuva ndichiti,‘BLESSED THO ART OH LORD,FOR
MYSTERIOUS ARE THE WAYS OF THY SALVATION.’Chizaruro ichi changopera,
ndakamuka ndikanamata ndichiti,‘Ndatenda Baba,zvaitwa.Izvi zvakafanana nokuwonekwa
kwezvikwa zvina (4) zvakamboonekwa naJohani ari pachiwi
Zvakazarurwa 5:6
Zvakazarurwa 1:5-10
CHITSAUKO 10
ANOENDA KWASADZA SAHEADMASTER NOMUEVHANGERI 1951-1955
1.Pakupera kwegore ra1951 ndakabva paChideme ndichienda kundoshanda paSadza
saheadmaster wechikoro uyezve somuevhangeri wechechi.Ndakasvika panzvimbo
iyi,ndakatanga kundonamata Mwari ndichiti, ‘Pano ndipo paSadza Baba, pandasvika nemhuri
kuzogara ndichibata mushando wenyu.Zvino chiuyazve mundishandise senguva
dzose,muchechi
nomuchikoro.Imi munondida zvikuru,garai nesu pano mazuva ose,panzira dzedu
dzose,pamabasa edu ose oupenyu huno nowoupenyu hunouya.Imi makataura zvokutuma
muranda wenyu kuvanhu venyu veAfrica kutanga uye nevenyika dzose nezita renyu.Ndiko
kuparidzwa. Kweevhangeri yaJesu muranda wenyu mutsvene.’Matenga
ngaachiderera,azorore
pamuranda wenyu,wakazvisharira basa rokugara mumavazhe enyu,achishanda muimba
yenyu
Mwari.Ngaachizadzwa noMudzimu wenyu Unoera,adzedzereke,akwaniswe.Iye wakaona
Jesu,Mwanakomana wenyu,paGuvambwa mudombo pagomo naparwizi,mutsime
nokuMazowe
paHoward,mugore kumabvazuva mukubwinya kwake kukuru nembiri yake inoshamisa
kwazvo.Oh! Umambo husingangaperi, mbiri yokudenga, tariro yapasi pese.Nhasi nyasha
dzenyu
ngadzipiwe mudikanwi wenyu, achinwiswa chaizvo asimbiswe kuti agone kukufadzai Baba,
akushandirei paAritari yeAfrica, zvino nokusingaperi-peri-Amen.
2.Pamunamato uyu ndakazadzwa nokuda Mwari kukuru,nomufaro wose
wedenga.Ndakafamba
naShe munyika yavapenyu.Saka takatanga kuzvigadzirira imba yokugara.Ndakatanga
kugadzirira basa rose rechikoro nerechechi,kushanyira vana vechikoro mumisha yose
navabereki
navatendi voseMumusha upi neupi wandakapinda,ndakagamuchirwa norudo,nomufaro
unodadisa chaizvo.Ndakavonga Wedenga wangu pamusoro pazvose.Vanhu vazhinjizhinji,
vakuru navaduku, vaibva mumisha yose yakapoteredza,vakauya kuchechi nomusi
weSvondo.Imba yaMwari yakazara nokumusuwo.Vanhu vakaimbira Mwari nziyo dzoUshe
nemweya inoda,tikapfugama namabvi ndokunamata.Evhangeri yakaparidzwa,idzo nziyo
dzichiimbwa.Saka ini pachangu mwoyo wakatakwaira nomufaro,ndichigomera nokufadzwa
nokuwanda koMweya Mutsvene muchipfuva change.Pakupera kwemharidzo rwiyo
rwokupedzisira rwakaimbwa.
Dombo ndipe meso ndione
Pauzuru kudenga
Ndivaone vano utsvene
Vanofara kuna She
Zviya zvavaiva panyika
Vaichema misodzi,
Vaimanikwa nokuedzwa
Muedzi achivaedza.
Ndakaona negwara rake,
Ndikabvunza makadii,
Ndiyeyo wanga atifira
Wanga afira isu.
Vakaona negwara rake
Raienda paupenyu,
Vakafamba pagwara
Vazorora kudenga
Ngaarumbidzwe mutungamiri
Zvaatitungamira,
Kusashaike muteveri
Panero gwara rake.
3.Vanhu vazhinji vakauya kuaritari kuzozvipira nokudzokera kuna Mwari
nemisodzi.Kwakava
kukohwa kwakaisvonaka mumunda waTenzi Jesu Kristu Ishe wedu.Bira reKirisimasi rakava
guru pagore iri paSadza nokuti Ishe wakakudzwa,zita rake rikarumbidzwa.Rugwaro
rwokuzvarwa koMwanakomana waMwari rwakaverengwa nokudzidziswa
kazhinji.Ndakapangidza vatendi navanhu vose kuti:-
4.Sangano rose rinoera raMwari rinofanira chose kuziva kunzwisisa rungano rwokuberekwa
kwaTenzi we Jesu Kristunokuti ndiyo nguva apo Mambo wapasi pose akapangidza kukura
korudo rwake.Ndiyowo nguva yaakaratidza kuwanda kwenyasha dzake kuvanhu vose vapasi
rino,pakutuma muranda wake kwatiri nomumhu womunhu,Shoko rakava nyama.Pakusvika
kwake wakabatanidza denga napsi.Ndiro near raJakobo,paakaona vachiburuka nokukwira
mudenga.Ndiye watiine mapindiro kuna Mwari.Nezita rake iye wakazvarwa nomumhu
womunhu,minamato yedu inosvika pamberi paMwari mudenga ichiburukazve
nemhinduro.Ndiye munhu amire pakati paMwari navanhu,vapasi rino vose
vanoera,vanonamata
kuna Mwari vachiwana mhinduro.Minamato yavo inokwira nomaari,iye Mambo
wengirozi,Muchinda worugare,Mwari anoshamisa,kuedza kwenyika.
5. Takatamba gore dzva zvakanaka, chikoro chikazarurwa.Mwari wakatiropafadza, tikawana
vana vechikoro vakakwana navadzidzisi vakakwana.Pakutanga kwezuva rimwe nerimwe,
basa
rokudzidzisa muma –class raitungamirirwa nokunamata kwakakwana.Vana vechikoro
vaizofarira
Mwari mukushumira uku, vamwe vavo nemisodzi.Sondo yakatanga kufadza vanhu vose
vaipindamo, vakuru navaduku.Nokudaro takatungamirwa zvakanaka gore rose ra1952
paSadza.
CHITSAUKO 11
PASI ROSE MAMETHODIST ANORINDIRA MWEYA MUTSVENE 1953
Mugore iri takagamuchira zvinyorwa zvakabva kuSalisbury,yava kunzi Harare mazuva
ano,kuna
vachairman Hurbert Carter,zvairaira manamatiro aifanira kuitwa navanhu vose vairindira
Mweya
Mutsvene zvichinzi:‘Vanhu vose vanofanira kuita (cottage prayer) minamato
yomudzimba,Chitatu chiri chose kana zuva riri ripi haro Mauro.Musava nehanya nenzira
yamanamatiro akarongwa, uye musazoshamiswa kana moona rukova rwofashukira
nokuputsira,nokuti Mweya waMwari achabata vanhu.Ndiye achatungamira kune zvinoda
Mwari.
2.Ini ndapedza kurava zvose zvakanga zvakanyorwa pakuraira kose kwaVaCarter,ndakaenda
kumasowi kundonamata Mwari.Ndakakumbira kutungamirwa naIshe pabasa rose guru
iri.Pakarepo takatangisa kupota nemisha Mauro tichiimba nokuparidza Shoko nokunamata
nezve
Mweya Mutsvene mudzimba .Pashure vanhu vazowanda,takazenge tounganira panze.
3. Aya ndiwo mamwe amagwaru ataidzidzisa;-Johani 14:15-20. Kana muchindida
muchachengeta mirairo yangu.Neni ndichakumbira Baba vachakupai mumwe munyaradzi
kuti
agare nemi nokusingaperi.Ndiye Mweya wazvokwadi. Nyika haigoni kumugamuchira nokuti
haimuoni kana kumuziva ,imi munomuziva nokuti ugere nemi,uchava mukati
menyu.Handingakusiiyi muri nherera,ndinouya kwamuri.KKuchine nguva duku nyika
haichazondioni,asi imi munondiona nokuti ini ndiri mupenyu,nemiwo muchava
vapenyu.Nezuva
iro muchandiziva kuti ndiri muna Baba nemi mandiri,neni mamuri.Johane 4:23-24.Asi nguva
inouya, nazvino yatovapo yokuti vanonamata nezvokwadi vachanamata Baba mumweya
nezvokwadi,nokuti Baba vanotsvaka vakadaro kuzomunamata.Mwari
ndiMweya,vanomunamata,vanofanira kumunamata mumweya nezvokwadi.Mabasa 1:4;5
Akavaraira aungana navo kuti varege kubva Jerusarema asi vagarire chipikirwa chaBaba
achiti,‘Chiya chamakanzwa kwandiri,’ nokuti ,‘Johane Zvirokwazvo,wakabhapatidza
nemvura,asi,imi, muchabhapatidzwa noMweya Mutsvene mazuva mazhinji asati
apera.Mabasa
Avapostora 2:1-42.Nziyo taiimba idzi dzichibva mubhuku yenziyo yekare
yeMethodist:74;52,54,125,21,71,118,121,142 nedzimwe dzakadaro.
CHITSAUKO 12
TAKAGAMUCHIRA MUDZIMU UNOERA
1.Pakatui pegore takagamuchira Mudzimu Anoera .Akatiraira kuti vanhu vareurure zvivi
zvavo,vauye nezvifananidzo zvavo zvipiswe.Zvino vazhinji vakauya vachireurura zvivi
zvavo
navaiva namazango nenyanga namachira amashavi namakano netsvimbo nemipfuhwira
nouroyi
namadivisi nezvimwe zvose zvechihedheni,vakauya nazvo zvichipiswa pamberi
pavose.Mudzimu Anoera akatirairazve kuti vose vainge vapedza kureurura nokupisa
zvifananidzo zvavo,vaimbirwe vakaiswa maoko avakuru pamusoro.Saka zvichidaro vose
vaiva
nemweya yetsvina yakabuda,vachibvunda nokuwira pasi vachiponeswa.Vairwara vaibva
vapora
pakarepo.Nokudaro vanhu vazhinji vaibva kuDombo nokwaMasvaure nokwaMudawarima
nokwaManyaere nokuChisango nokuNhangabwe nokuSwiba,vakatanga kuuyawo kwaSadza
kuzopinda minamato iyi usiku hweChitatu neChishanu,vhiki rimwe nerimwe.Taitanga zuva
richangovira,toita basa raMwari pungwe.Vamwe vakuru vaibata basa iri neni ndaava:Zakeyu
Chitedega,Fanueri Govere,Betemew Juru,Wilfred Dabwa naLoveless Manhango.
CHITSAUKO 13
KUDZIDZISA KUTSVA KWAJESU KRISTU
1.Takatanga kuita minamato iyi mumaguta ose aiva nekereke dzeMethodist,vanhu vaiunga
somusangano vachiita 300,pamwe 500 kuwanda Mweya Mutsvene waichengeta vanhu ava
usiku
hwose dakara kunze ngwe,vainorunyararo nokuteerera kunoshamisa kwazvo.Vaiimbira
Mwari
nemwoyo yavo yose zvinosiririsa kwazvo.Misodzi yangu yaibuda nomufaro waMweya
Mutsvene.Vaiteerera zvaiparidzwa vachisekerera.Hapana waikotsira.
2.Johane wakati asungwa,Jesu akasvika Gaririya akaparidza evhangeri yaMwari
achiti,‘Nguva
yazadziswa,ushe hwaMwari hwaswedera pedyo,tendeukai mutende evhangeri.Mariko 1:14-
15.Zvino vazhinji vakanga vatenda vakauya vakazvireurura nokurondedzera mabasa
avo.Navamwe vazhinji vaiita un’anga vakaunganidza bhuku dzavo vakadzipisa pamberi
pavose.Vakaverenga mutengo wadzo,vakawana kuti waiva masirivheri ane zviuru zvina
makumi
mashanu.Naizvozvo Shoko raIshe rakakura nesimba rikakunda.Mabasa Avapostora 19:18-20.
3.Zvino avo vose vakatendeuka nechokwadi vachida Ishe Jesu nemwoyo yavo
yose,vakagamuchira Mudzimu Unoera ,vakaporofita vachitaurazve nedzimwe ndimi.Zvino
Pauro wakati aisa maoko ake pamusoro pavo,,Mweya Mutsvene wakauya pamusoro
pavo,vakataura nendimi vakaporofita.Mabasa Avapostora 19:6
4.Pasangano rimwe nerimwe reMethodist, paiva navatungamiri vakareurura,vakaisa maoko
avakuru pamusoro,vakagamuchira Mweya Mutsvene,basa raShe wedu Jesu rakakura,vatendi
vakawedzerwa.Vaparidzi vakava nesimba pakuparidza evhangeri muKwenda Circuit,vaive
vatainamata navo mazuva aya.Vanhu ava vose vakatanga kutumidzwa zita rinonziMWAZHA
GROUP .Rukova rwakafashukira,Mwari wakarumbidzwa muKwenda Circuit,Mweya
Mutsvene
ukauya pamusoro pavatendi .Kudzidzisa kwakava kutsva.Takabiswa padzidziso
dzeMethodist,tikatungamirwa naMweya Mutsvene dzidziso dzaIshe Jesu Kristu.
5. Zvino wakadanira kwavari vadzidzi vake vari gumi navaviri, akavapa samba pamusoro
pemweya yetsvina kuti,
6.Vaibudise nokuporesa kurwara kwose noukosha hwose .Jesu wakavatuma akaraira
achiti,’Mufambe,muparidze muchiti,‘Vushe hwokudenga,hwaswedera.Poresai
vanorwara,mutsai
vakafa,natsai vana maperembudzi,budisai mweya yakaipa.Makangopiwa henyu,chingopaiwo
henyu’ Mateo 10:1;5;7;8
7. Ipapo vakabva vapota nemisha vachiparidza evhangeri nokuporesa panzvimbo dzose.Ruka
9:6
.Ivo vakaenda, vakaparidza kwese kwese, Ishe achibata navo, achisimbisa shoko nezviratidzo
zvaiva navo.Marko 16:20
CHITSAUKO 14
MURUME ANOTUMWA ACHIBVA KUELBER MUMWE KUNE RECHITATU
1.Basa iri raIshe wedu Jesu Kristu richikura kudaro mudunhu iri raKwenda,vanhu vachidzoka
pakuipa kwavo,vachigamuchira Mudzimu Anoera waMwari,varwere vachiporeswa,vane
mweya
yakaipa vachinatswa,Mwari achikudzwa zvikuru kudai,Satan haana kufara nazvo.Nokudaro
wakaisa mweya wakaipa mumwoyo yavamwe vakanga vasingadi kutendeuka nokureurura
zvivi
zvavo.Vakanga vasingadi kutenda dzidziso yakanga yaratidzwa naMudzimu Anoera,vakava
negodo guru.Vakaenda kumufundisi mutema wakanga ari paKwenda Mission
kundomhan’ara
vachiti kune varume varikutsautsa vaKsritu vedu,vachidzidzisa tsika dzinopesana
nechiMethodist.Vanoreururisa vanhu,vachipisisa vanhu mishonga yavo nezvimwe
zvakadaro.Vanoteurira vanhu vakaisa maoko pamisoso.Vanobudisa madhimoni
vachiadzinganisa
nezita raJesu.Vamwe vavatendi vedu vanopinda minamato iyi yousiku navarume ava,vava
kubatwa noMweya.
2.Varume ava vanonamatisa vanhu usiku hwose,havakotsiri.Vanhu vazhinji vava kuvatevera
vachitenda dzidziso dzavo.Vanopota nemisha mumasangano edu ose vachiita minamato
yavo.Vanhu vose vose vava kutenda kuvanhu ava nokuti kutaura kwavo hakuna anogona
kukuramba kana chete wambosvikapo pavanodzidzisa.Kana zvikaregwa zvakadaro chichi
yose
inopindurwa ikava postori.Saka takuudza iwe kuti uzivise mufundisi muchena,zvinhu izvi
zvidziviswe nokukasira,vatendi vedu vasati vatsauswa vose.Muevhangeri wopa Sadza
,Mwazha,sezvamunoziva,ndiye mutungamiri mukuru webasa iri.
3.Mufundisi wakaisa nyaya iyi kumufundisi muchena,zvikarongwa kuti nhau yachoni
iendiswe
kuMusangano weQuarter,kwaChideme,apo paizenge pachizoungana vatungamiri vose
veKwenda Circuit.Ini ndanzwa kuti ndizvo zvavapo,ndakaenda kuna Mwari ndikatanga
kunamata mangwanani,nezuva rovira nousiku,mazuva ose.
4.Kwakazouya chiratidzo ndichiona ndava kumabvazuva .Ipapo ndakaona imba huru iri
pasango,pakarepo ndikapinda mairi ndokuona muzere vanhu vachena vagere vakabata
mabhuku
enziyo mumaoko avo,vachiimbira Mwari nziyo zvinosiririsa.Meso avo akanga akatarira
pamabhuku vachiimba asi mwoyo yavo yakanga yakasimudzwa yakatarira kudenga kuna
Mwari.Ndakazarura gonhi ndokupinda mukamuri yomukati,ndokuwana muine vamwezve
vanhu
vakafanana navaya vandakanga ndaona mukamuri yokutanga,vachingoita
zvimwezvo.Ndakazarurazve mukamuri yechitatu wanei ndizvozvo..Ndakazobuda nomumwe
musuo ndobva mukamuri iyi yechitatu.Ndichitanga kupinda,ndakapinda nokumusoro
mukamuri
yokutanga,ndokuzobuda nokuzasi kwakadziva kumadokero.Ndichibva pamba huru
iya,ndakananga kundogara pamisasa mikuru yaiva kumadokero ndokugara pasi ,onei tava
vaviri
nomumwe wangu andisina kutongoziva.Pakarepo ndakaona mumwe murume anoshamisa
amire
parutivi rwangu nechezasiakabata bhuku guru muruoko rwake rworudyi.Ndakamubvunza
ndikati,‘Unobvepiko?’Akati ,‘Ndinobva kuElber.Ndauya kuzokudzidzisai zvinouya.Pakarepo
ndakaona mumwe achiburuka achibva kudenga ane mapapiro,akamhara pamberi
pedu,ndokupupurira uyu wakabate bhuku achiti, ‘Mashoko amuri kuda kudzidziswa
nomurume
uyu,akambodzidziswa mune rechitatu.Ndakazotarira mavirazuva ndokuchiona varume vaviri
vachitinhira mombe pataive kuti vatikanganise.Asi ndazotarisa kuzasi,ndakaona murwi
weketani
dzegoridhe.Murume wakabva kuElber,akabata bhuku guru,akamhanyira kuzasi ndokutora
ketani,ndokusungirira pamusasa waiva zasi ikoko,ndokudzitambanudza,ndokukwira
kumusoro
achibva asungirira pano mumwe musasa achiti, ‘Ndapfiga mavirazuva.Saka mombe dziya
dzakazokoniwa kusvikapo pataive ndokubva dzonyenyeredza-nyenyeredza dzichikwira
kumusoro kwakadziva kumabvazuva navarume ivava vaidzitinha. Ndakamuka ndikapfugama
namabvi ndakatarira mabvazuva,ndokunamata ndichiti,‘Ndinokunamatai Mwari,Musiki
wedenga
nenyika,nazvose zvirimo,samba ramasimba ose,Ushe husingakundwi.Makapindura muteuro
wangu pakukumbira kwangu pamusoro pavabati navatungamiri vavanhu,avo vakaungana
pamwe
chete vachironga mazano akudzivisa dzidziso yomuranda wenyu Jesu.Imi makatuma murume
akabva kuElber,kwandiri,nesimba rokundirwira.Akavhara mavirazuva neketani
dzegoridhe,vavengi vakakoniwa kudzima zvamakaraira naJesu,paevhangeri kuti,‘Paridzai
evhangeri,poresai vanorwara,mutsai vakafa,natsai vana maperembudzi.’Hongu Baba ,vavengi
vomuchinjikwa woMwanakomana wenyu Jesu,vakakundwa nomurume wakabva kuElber,uyo
wakauya kwandiri nebhuku rine zvidzidzo zvenguva inouya,iyo yakapupurirwa
nowechipiri,wakamhara achibva kudenga achiti, “Izvi zvamunoda kudzidziswa pano pasi
zvino,zvakambodzidziswa mune rechitatu.”Kana marimba muchitirwira saizvozvi, tichaenda
mberi nouyu mushando wenyu Mwari, zvino nokusingaperi .Amen.
5. Zvino zuva reQuarter Meeting rakati rasvika, takaenda kwaChideme navamwe vangu
vanoti,
Chitedega naDabwa naGovere.Munzira ndakavataurira chiratidzo chokurwirwa kwedu
naShe.Ndakavasimbisa kuti takanga tisingazodziviswi kushandira Mwari nenzira itsva
mhenyu
iyi.
6.Musangano wakati wapindwa,zvino pava pakati,Mufundisi Mapondera wakasimuka
akati,‘Mubati wechigaro neungano,pano ndine mashoko akauya kwandiri navakuru vachiti
pana
vamwe varume vari muno muCircuit vava kupindura chichi yedu yeMethodist nedzidziso
dzavo.Ndakanzwa kuti vanoreururisa vanhu vachipisa zvinhu zvavo,vachinamatira vanhu
vakaisa maoko pamusoro.Vanobudisa madhimoni uye ndaaudzwa kuti vamwe vavatendi
vedu
vanopinda minamato yavarume ava vatova kubudirwa nomweya.Kutaura
zvishoma,ndombomira
pano.Mubati wechigaro negungano,wakagara pasi.
7.Mufundisi muchena Rev. Robinson,wakasimuka akati,‘Zarurai ‘1Vakorinte 12:1-
11,mumwe
wenyu averenge.Nokukurumidza mumwe akasimuka akaverenga,‘Zvino kana zviri zvipo
zvomweya hama dzangu,handidi kuti muve vasingazive.Munoziva kuti panguva yamaiva
vahedheni makanga muchikweverwa kuzvifananidzo zvisingagoni
kutaura,sezvamakatungamirirwa.Saka ndinokuzivisai kuti hakuna munhu ano mweya
waMwari
angati,‘Jesu ngaatukwe nokuti mumwe anopiwa noMweya shoko rouchenjeri,mumwe shoko
rokuziva noMweya iwowu.Mumwe kutenda mumweya iwowu,mumwe zvipo zvokuporesa
mumweya iwowu,mumwe kuita mabasa esimba,mumwe kupofita,kuzivisa mweya,mumwe
marudzi endimi,mumwe kududzira ndimi.Asi izvozvi zvinoitwa noMweya iwoyo mumwe
chete,unogovera umwe noumwe sezvaanoda.”Muverengi akagara pasi.Mubati wechigaro
Rev.
Robinson wakasimuka akati, ‘Manyatsonzwisisa here zvaverengwa parugwaro rwaPauro
kuVaKorinte? Vanhu vose vomusangano vakati, ‘Kwazvo’Mufundisi Robinson akati, ‘Zvino
varume, handidi kuti muite godo.
8. Vanhu ava, vanaMuEv Mwazha, vanezvipo zvaMweya Mutsvene zvokuporesa
nokuporofita
nokudzidzisa vanhu nzira dzaMwari.Ini handina chipo chokuporesa varwere. Mwazha
haangagoniwo kuita basa rangu randinoita saSuperintendent nomufundisi mukuru weCircuit
.Imiwo kana pakati penyu paino mumwe anoda kuisa maoko pamusoro pevanorwara, ngaaite
asi
ndinokuudzai asi ndinokuudzai kuti munoita maperembudzi.KuEngland iyezvino kune
vafundisi
varikuita basa rokuturika maoko kuna vanorwara nokubudisa mweya yakaipa must Paul
Chapel.Uye kuAmerica basa iri riri kuitwa zvakanyanya.
9.’Saka ini ndinoti varume ava ngativape tsamba yokuti tavatendera kubata basa guru iri
raMwari mumakereke edu ose, mucircuit ino yose.Ungano yose yakasimudza maoko ikati,
Ngazvitwe saizvozvo, tazvitendera.
10. Isu takafara kwazvo izvo basa raTenzi Jesu rakanga ranzi riende mudunhu iri.Mwari
wakatirwira evhangeri yomuranda wake Jesu.Musangano wakapera tikadzokera kunzvimbo
dzedu tichirumbidza Mwari.
CHITSAUKO 15
CHIZARURO CHOKUKUNDA NGOZI NENYOKA PANYIKA NADANGER
KUDENGA.
1. Takasvika paSadza tikaunganidza vadzidzi ndokuvaudza zvose zvakanga zvaitika kuti
Ishe wakarwira zita rake, nokudzidzisa shoko rake muevhangeri rinoti, ‘Musatye, tarirai
ndinemi mazuva ose, kusvikira pakuguma kwenyika.Takatanga kuimba rwiyo 21.
Farai nesu tinotenda,
Tapiwa rufadziso
Zvatinoti kana tafunga,
Tione zvishamiso!
Jesu waburuka kudenga,
Rwauya ruponeso.
Tinoda izwi roupenyu,
Inzwai zvoshamisa!
Wafira vakaipa vose,
Wabisa zvidariko,
Watakura nemhosva dzedu,
Kakare zvoshamisa!
Mukati pane rima redu,
Wakativhenekera,
Waperisa upofu hwose
Honai zvoshamisa!
Wakagumburwa pane nzira,
Nenzira yokuidzwa,
Angapiwe ruregerero
Kakare zvoshamisa!
2.Takapfugama namabvi,tikanamata ndikati, ‘Mwari wakanaka,ndinokutenda mufudzi
wakanaka,unogona kwazvo kuponesa.Murwiri panjodzi,mubatsiri wedu panguva
yekutambudzika.Ndinotenda baba kuti nokuda kwako handichakundwi nechiro chipi nechipi
hacho panyika ino yapasi.Kuva kwako neni isimba rangu,Mwari wangu,rudo
rwakawanda,Baba
wandiitira.Mbiri ngaive kwauri,nhare yangu zvino narini,Amen.
3. Basa rokuparidza nokuporesa zvino rakanyanya kufambira mberi.Varwere vakatanga zvino
kuuya vachibva nzvimbo dziri kure nemisha yakapoteredza vachiporeswa.
4. Mumwe musi mugore iri ra1953 ndakazozarurirwa chizaruro chakadai.Ndakaona ndava
pakati
penyika ino kumavirazuva, ndokuchigara muvharanda reimba ndakatarira
mabvazuva.Ndakagara
apa chinguva, ndakafunga ndikati, A! ko, varidzi veimba iyi varipi?
5. Uyezve hapana pfumbwi, kuti munhu ufunge kuti panogara vanhu,
hazvingabviri.Ndakabva
ndati, ‘A’! ndagara paimba pasisina vanhu.Vanhu ava vakafira mumba iyi.Ndakabva ndati
kwaku
ndokuhwengura jasi rangu randakanga ndakochekera pahena yaive muvharanda,ndiye toro
kumanya ndichitiza ndichienda kumaodzanyemba.Zvino ndakanzwa izwi richibva mumba
iya
richindidaidza ini ndichibva ndarikarira nesimba ndichiti, ‘Nezita raShe Jesu,nyarara!
Richibva
rati dii kunyarara.Ipapo ndakazoona ndakutyaira nzombe mbiri,shava,dzaikweiva
chikochikari
chakanaka chose.Nzombe idzi ndakazodzida chaizvo nokuti dzakanga dzakasimba,makushe
adzo
achivaima,dzakanakisa zvinoyevedza,dzakaenzana uye dziino ruvara
rumwerwo.Ndakadzichaira
ndichikwira kimaodzanyemba mwoyo uchifashukira nomufaro.Pakeropo ndakazongoona
ndava
kumabvazuva munhandare yaive nakamba keraundi kamwe chete,mukati mesango.Ndirimo
munhandare ndichinanga pakamba aka,ndakacheuka kumavirazuva ndokuona zinyoka dema
guru guru rakareba nokukobvuka zvisingabviri kutsanangura,richipinda munhandare
umu,rakananga kwandiri.Iniwo ndakapinduka ndokudzokera mavirazuva kuti ndisangane
nenyoka iyi,ndirwe nayo.Ndakati ndasangana nayo,ndakazongoona pakati pangu nenyoka
pave
negomba rizere marara ouswa hwakaoma,hwakanga hwakurwa munhandare.
6.Nyoka yakaramba ichiuya kwandiri,ichipinda nomugomba rizere uswa iri pamberi pangu
kuti
izondiuraya.Ndakamira apa ndisina chinhu mumaoko angu.Ndakaona zvino ndava pakati
pavakomana vaviri vechiduku,Mumwe kurudyi rwangu,mumwe kuruboshwe.Nyoka yakazoti
ichiburitsa musoro wayo mugomba kuti ichisvika pandiri,mukomana waiva kurudyi
wakandipa
tsvimbo ndokubva ndarova musoro wayo ndichibva ndapunzikira pamberi pavo.Mukomana
waiva kuruboshwe kwangu weakandibata makumbo ndokundikwevera shure
kumabvazuva,ndichibva ndasimba.Wokurudyi wakakwenya machisi ndokutungidza uswa
uswa
mugomba,uchibva wabvira.Ini ndakasimuka ndokutorazve tsvimbo ndichibva ndapamhidza
kurovazve nyoka iya musoro,ichibva yafa.Vaya vakomana vakandibatsira
vakanyangarika,ndokusazovaona.
7.Ndichibva apa,ndakabururuka ndichienda kumabvazuva ndikapinda munyika
itsva.Zvandaitarira pasi munyika iyi ndichibhururuka ndiri mumhepo,handina kuona munhu
kana
mhuka kana shiri kana chimwe chinhu hacho asi uswa nemiti nedzimba dzakavakwa
zvakanakisa.Dzaiva mumisha ine minda yemichero yakawanda yamarudzi ose,asi makanga
musina vanhu kana zvipfuo kana chipi nechipi hacho.
8.Ndakataura ndoga ndichiti, ‘Seiko nyika iyi yese isina chipuka kana chorudzi rupi harwo?
Nyika yacho ichibva yaguma.Zvino ndava pamagumo kumabvazuva,ndamhara pasi
mukamuswaswaira,kakamakwa kumativi ose,ndakananga kuzasi kwakadziva kumabvazuva
ndokupindukira kumusoro kwakadziva kumabvazuva,nzira ichibva yokwira kudenga
mukamukana kaikwana muviri wangu chete.Kwakasvika kechi ichibva mudenga
ndokunamatira
pairi,ndiye kere-re-re-re ndichikwira mudenga,wanei ndava mumba yechirungu ina
makamurikamuri.
Yaiva nakarunako kandisingagoni kutsanangura.Handina kumboona imba yakadaro
munyika ino yapasi kusvikira zvino.Ndakamira mukamuri iyi ndakatarisa
kumaodzanyemba.Yaive nemisuo mina,ina magonhi mana akapfigwa,rimwe kumusoro
kwakadziva kumabvazuva,rimwe zasi kwakadziva kumabvazuva,nerimwe zasi kwakadziva
kumavirazuva.
9.Ndimire kudaro ndichicherekedza zvose,ndichishamiswa,ndakazoona pamberi pangu paino
mudziyo unokosha,unotarisika sebhokisi kana kuti kabati.Zvino ndakazowanazve pakati
pomudziyo uyu neni pava kufamba-famba mukomana muchena,wakapfeka gamenzi
jena.rakareba kusvika kuzvigunwe.Wakatanga zvino kufamba
achinditenderera,achinyemwerera,achindifarira chaizvo.Waiva mukomana wezero ramakore
mashanu.Gamenzi rake rakazochena sechando.Ini ndakafara chose.
10.Gonhi rokumusoro kwakadziva kumabvazuva rakazaruka,kukabuda mukomana muchena
wezera rouya waindifarira.Wakatangawo kuuya kwandiri akapfeka gamendi dzvuku asi ini
ndakati, ‘Ya,ndinokuziva,ndiwe Dhenja(Danger) ndichibva ndamurova nechibhakera kamwe
chete.Akawira pasi ndokufa.Ndakatanga kufara chaizvo.Zvandakanga ndauraya Dhenja,uya
mukomana muchena,ane nguo chena,akaramba achinditenderera achifara chose.Asi
akandiyambira achiti, ‘Chenjera zvino kwava kuuya Gaint.Ipapo ndakatanga kusaona ndikati
kumutumwa, ‘A, samba ndinaro chaizvo rokukunda Gaint,asi handichaoni.Ndakaburutswa
nenzira iya yandakanga ndambokwidzwa nayo ndichizoona ndava paya
pandakamhara.Ndakatanga kubhururuka ndichipfuura nemunyika iya ine misha
yakagadzirwa
zvakanaka asi isina vanhu kana zvipfuo,mhuka neshiri mukati mayo.Asi yaiva ine miti
yemichero yendudzi dzose namaruva anokosha neimba yakatimbwa ivhu rikati kwetete,isati
yadyirwa chiro mairi.
11.Ndakapfuura ndokuzopindazve munyika iya ina masango ane miti nouswa chete,musina
misha kana vanhu,mhuka kana shiri kana mhashu;musina kapuka kapi nakapi hako asi
matondo
chete.Ndakayambuka rwizi rukuru ndokuzomhara munyika ino yavanhu,,ndichibva
ndamuka,ndokupfugama namabvi,ndokunamata ndichiti, ‘Ndinokutendai Mwari wangu tariro
yavakashanangurwa,mubatsiri wavo,panguva yokutambudzika.Imi Mwari musingabvi
pamhiko
dzenyu dzamagara mapikira avo vose vanokudai,kubva pakusikwa kwenyika muchiti,
‘Ndinemi,handingakusiyii.Ndichakurwira zvirokwazvo,zvirokwazvo
ndichakubatsirai,’Ndinokutendai Baba nokuti nezita raJesu Kristu muranda
wenyu,ndakanyaradza ngozi,izwi rayo ndaikurira.Iye wanditumira vatumwa vake vaviri,avo
nesimba rake Jesu,vandibatsira kuuraya nyoka huru ino uturu,nyamubobo.Hongu,nokuwanda
kwenyasha dzake kwandiri,ndabhururutswa,ndikapfuudzwa nomudzinyika itsva
dzinoshamisa,kusvikira ndapinzwa mudenga rechipiri umo mandawana Dhenja
ndikamuuraya,ndichibatsirwa nomutumwa wenyu.Asi ndaburutswa ndisati ndauraya Gaint
nokuda koupofu hwameso angu.Saka zvino Mwari,ndauyazve pamberi penyu kukumbira
meso
okuona nesimba rokukunda Gaint.Simba,hongu baba,ndinaro rokurwa naGaint
nokumukunda,asi
ndashayiwa meso okuona Gaint.Baba,svinudza meso angu zvino nokusingaperi.Amen.
CHITSAUKO 16
CHIRATIDZO CHORUBHABHATIDZO RWAERIYA NOKUITWA MURANDA
WAJEHOVHA
Gore ra1954 rakave gore rokunyengetera kukuru nokuzvipira kune samba kuna
Mwari.Zvandakanga ndagara pasi,ndorangarira zvose izvo Mwari akanga andiitira,kutanga
pazuva iro ndatanga kumuziva saBaba vangu vari kudenga,kusvikira mugore
iri,ndakavambazve
kuona kunaka kwake,kuti kwanyanya.Wakanga andipinza chikoro nokundipa pfungwa
dzokugona kudzidza magwaro ose angu.Ndiri pachikoro wakanga aita kuti vose vadzidzisi
vangu
vandide.Wakanga aita kuti vanhu,kunyangwe vakanga vasiri hama dzangu,vandinzwire tsitsi
nokundipa mari nezvipfeko.Wakanga andiita kuti ndimunamate,nokumutenda, nokumukudza
mangwanani nezuva rovira,musi mumwe nomumwe.Wakanga andipfavisa nokuita kuti ndide
Mwanakomana wake Jesu Kristu zvikuru.Wakanga andirwira pavavengi kazhinji,aita kuti
ndikwanise basa rangu rose rokudzidzisa muchikoro nokuparidza evhangeri ine mbiri,yaJesu
Kristu Musande,nomuminamato,nomumisangano.Wakanga akonzera kuti ndidiwe
nokukudzwa
navanhu vose.Mwoyo wakanyongodeka ukatakwaira nokuda Mwari.Ndizvo ndakaenda
kumasowi panzvimbo yangu yokunamatira ndokupfugama namabvi kuti
gwadagwa,ndokutarira
mabvazuva nokudenga ndichiti, ‘Seshiri yehaya inochemera mvura yomumhango
yakashamira
kudenga,neniwo mwoyo wangu unomushuwai Mwari.Pano ndauya kwamuri asi ndashaya
matendero andingakuitai Ishe wangu,zvinoshamisa.
2.Chete ndinokumbira nhasi Baba, kuti mundiitewo muranda wenyu,kuti ndibate muimba
yenyu.Gamuchirai henyu iri mvemve romwoyo wangu,nouyu muviri wangu uno utere,kuti
zvishandiswe nemi,zviitwe zvakakodzera kumira pamberi penyu imi munoera,wamasimba
ose,muri muchiedza chinoshamisa.Kana zvisingabviri kuti ndiitwe muranda
wenyu,ndiurarayei
henyu nhasi Baba,nokuti upenyu hahundinakiri,uye handingahudi kana ndisingaiti basa
somuranda wenyu muimba yenyu,muevhangeri ine mbiri yoMwanakomana wenyu
anodiwa,Jesu
Kristu Ishe wedu.
3. Ndazvinzwa kuti mandinzwa Baba, imi munopindura miteuro yangu nguva dzose nokuda
kouzhinji hwengoni dzenyu dzamunondiitira misi yose, ini mutadzi mukuru wakadai, Amen.
4. Saka ndakazoona chizaruro usiku.Ndakazoona ndamira padombo panyasi pedziva,
murwizi
rwaierera ruchibva kumaodzanyemba ruchidzika kuchamhembe, ndikanzwa izwi richibva
kudenga richiti, ‘Pinda mudziva iri, ndimo makapinda veranda vakandishandira.Ini kuti
ndipinde, wanei ndava kutya nokuti dziva rachoni raive noudzami
hwakanyanya.Handisakagona
kupinda maririba kudakara ndapepuka.
5. Ndakapfugama panyasi pomubhedha wangu ndikanamata ndichiti,’Ndinotenda Bababa
vangu
nokuti mandiudza kupinda mudziva rakapinda veranda venyu vakakushandirai.Asika,
handina
kupinda mudziva nokuda kokutya.Handiti avo vakapindamo ndimi makanga mavabvisa
kutya?
Ko manga madii kundibvisawo kutya ndapinda, nhai Baba vangu? Mangwana ndiiseizve
parwizi, padziva Iro, mundibise kutya, ndipinde-Amen. Kwaedza,ndakabata basa rangu zuva
rovira ndakanamata musango panzvimbo yangu iya.Ndakadzoka ndikavata,chizaruro
chakauya
ndikaona ndava mabvazuva.Ndakafamba ndokuyambuka rukova.Ndakafamba ndichienda
mabvazuva ndokusvika pagoronga raive nemvura inoerera.Ndakapinda mugoronga iri
raierera
mvura ichibva mabvazuva ichienda mavirazuva.Ndakatanga kugeza muviri wangu,mvura
yose
ichibva yapwa,goronga ndokuoma ndisati ndapedza kugeza.Ndapepuka, ndakataura kuna
Mwari
ndikati, ‘Nhai Jehovha,ini ndiri chiiko wamungadadira kudaro?Ndakumbira kubatsirwa
nemi,kupinda mudziva rakapinda veranda vakakushandirai,asi imi mondiisa mugoronga
racho
roomazve.Ini Mwari hindisi chinhu pamberi penyu,ndiri honye nechinhu pasina.Ndiurayei
henyu
Mwari,kana zvisingabviri kuti mundiite muranda wenyu.Ndinofarira chose kubviswa
panyika,pano kurarama,ndisingashandiri imi makandida zvikuru,mukandiitira zvinhu zvikuru
zvandisingagoni kukutendai nomuromo woga.Baba ,ndibatsirei kuti mangwana ndinopinda
mudziva iro parwizi rwenyu.Amen.
6.Kwaedza ndakabata mabasa angu amazuva ose.Zuva rovira,ndakaenda kunoteura
kumasowi.Usiku chizaruro chakauyazve ndokuona ndava mabvazuva kuya kwakapwa
goronga
mvura ndisati ndageza.Ndakabva pagoronga iri ndichidzokera mavirazuva .Ndakati ndosvika
kurukova,kuzambuko,ndakanzwa pose pandaitsika,kurudyi nokuruboshwe pachiunga
nokushinyira.Saka ndakatarisa ndokuona kuti gumbo rangu rokurudyi raitsika pazipombi
ziguru
raibva nemvura mabvazuva kwandaibva,ichidira murwizi napasi pebhiriji iro randaienda
kwariri kuti ndiyambuke mhiri.Rwizi rwaibva kumaodzanyemba ruchienda kuchamhembe.Ini
ndaibva kumabvazuva ndichienda kumavirazuva.Ndakati ndosvika pabhiriji ndakabira,asi
ndikaona nyasi kwebhiriji rwizi rwazara.Ndakamuka ndikanamata Mwari ndichitenda
chaizvo
ndichiti, ‘Baba,ndatenda,ndazviona zvamandiitira.Mvura zhinji inobva kwamuri yadira
rukova
rwukazara.Zvino ndinovimba kuti kwaedza ndinopinda mudziva rakapinda veranda
vakakushandirai.Amen.
7. Kwaedza ndakaita basa semisi yese.Zuva rovira ndakanonamata kumasowi ndichitenda
Mwari
pamusoro pokuwanda kwenyasha dzake nokukura korudo rwake kwandiri, ndikakumbirazve
kuti
ndibiswe kutya kana ndasvika padombo, padziva murwizi.
8.Usiku,chizaruro chakauya ndichiona ndamira padombo padziva murwizi.Pakarepo
ndakasvetuka ndiye mudziva tyu kupinda,ndichibva ndanyura kusvika muhuro,musoro wose
uri
kunze.Kuti ndinyure pasi pedziva nomusoro wose,ndava kutya.Ndichakadaro,ndakaona
nyeredzi
mbiri dzakaita somoto dzichidonha kudenga,ndokumhara mumusoro wangu,imwe kudivi
rokuruboshwe,imwe kurudyi.Ndakatsva ndokubva ndanyura ndokugara mudziva iri
kwesvondo
mbiri ndirimo.Ndakapepuka mwoyo wangu uzere mufaro usingagoni
kutaurwa,ndokupfugama
pamberi paMwari ndichiti:-
9. ‘Baba,ndashaya mazwi andingashandise kutsanangura kutenda kwangu kwamuri pamusoro
peizvo mandiitira nhasi.Hamuonizve Baba,ndizvo zvino zvinofanira kuita muridzi
wavanhu,mukurukuru,une samba,unoera,une mbiri mudenga nomunyika dzose
dzavapenyu.Iwe
unonamatwa usiku namasikati,mumatenga ane mbiri navatumwa vano uwando husingagoni
kuzikanwa nomunhu.Baba,uri upenyu hwangu norufaro rwangu,wakanaka Mwari
wangu,ndinokuda.Seiko muchida vaduku navarombo,vakazvidzwa navanhu vasina mature
vakadai seni?A,makabva kudenga kuzobatsirawo imbwa yakadai seni,heya
Jehovha?Zvakanaka
Baba.Saka chishandisai henyu muranda wenyu sezvamungade.Badza guru kuwana murimi
chiserima chakada murima.Ndinozviziva kuti ini munhu asina mature mumaoko
enyu,ndingaite
basa guru pakati pavanhu,kubatsira vanhu venyu neevhangeri ine mbiri yaTenzi wedu Jesu
Kristu,wamakatuma.
10. Ndinopira zvangu zvose kwamuri kuti muchizviitisa kuda kwenyu, sezvamabatsira
muranda
wenyu kupinda mudziva rakapinda veranda vakakushandirai-Amen.
CHITSAUKO 17
CHIRATIDZO CHAVARANDA VORUBHABHATIDZO RWAERIYA
1.Vhiki imwe chete yapfuura shure kokupinda kwangu mudviva,ndakapiwa
chizaruro.Ndakatarira mabvazuva ndikaona chadenga chipfumbu chapukutwa,ndokubva raita
girazi rakaita denderedzi (round mirror).Zvino ndichitarira kwakare,ndakaona mugirazi riya
mava nezviso zvitatu,kurudyi Kristu,kuruboshwe Moses,pakati Eriya.Zvino izwi rakadaidza
richibva kudenga richiti,Hona veranda vaJehovha!
2. Ndakamuka ndokunamata ndichitenda Mwari nokumurumbidza zvikuru nokuda
kokuramba
ngoni dzake dzichiwanzwa kwandiri.Ndakaona humambo.
3.Kwaedza, ndakabata mabasa angu amazuva ose.Zvino zuva rovira,sokuita kwangu
kwenguva
dzose, ndakaenda kunonamata panzvimbo yangu yemisi yose.Usiku Ishe wakandizarurira
chimwe chizaruro.Ndakaona tiri paungano kunze komusha,varume navakadzi.Zvaiita
semvuserere, ndichiona vamwe varume vachiimba vachikanyaira kwazvo, vachiita manyawi,
asi ini ndakanga ndakadumbirwa ndakagumbata maoko,ndinyerere.Ndakati mumwoyo
wangu,
‘Vanhu ava vanokanyaira vachiita manyawi,ungati Havana Mwari wani?Takasvika pano
uswa
hwakanaka,tikagara pasi ungano yose.Ipapo pakasimuka mumwe munhukadzi wakura akati,
‘Vakabhabhatidzwa rubhabhatidzo rwaEriya simukai!Ndakasimuka pakarepo navamwe
vashoma
ndakangogumbata maoko angu,ndakapfava.Asi hapana nomumwe kuna vaya vaya vaiita
manyawi akasimuka.Saka ndakataurazve nemwoyo ndichiti,’Ko ingati ndambodaro wani kuti
varume ava vanoita havo manyawi asi Havana Mwari? Ndakapepuka ndikafara zvikuru apo
ndakaziva kuti ndakabhabhatidzwa rubhapatidzo rwaEriya uye kuti ndava muranda
waJehovha.
CHITSAUKO 18
ANOONA CHIRATIDZO ACHITUMWA KUGREAT BRITAIN
1.Zvino Rev.Wright vakati vadzoka kubva England kuzororo ravo,vaya vaRev.Robinson
vakanga
vasara vakabata nzvimbo yavaRev.Wright,vakaenda.Sakanokudaro vaya vakanga
vasingatendi,vairamba kutendeuka,vasingadi dzidziso itsva yaIshe wedu Jesu
Kristu,vakatangazve kuenda kuna vaRev.Wright vachiita sezvavakamboita kuna
vaRobinson.Asi
isu takaramba tichienda mberi neminamato yousiku,Chitatu neChishanu.Nenguva iyi
takazodaidzwa zita rokuti vokwaMuzemeni,nokuda korwiyo runonzi, ‘Hova
dzoMuponesi,(The
flowing river of life),rwaiti kana rwoimbwa runoramba ruchidzokororwa pungwe.Varwere
vazhinji vaiporeswa muzita raJesu,vane mweya yakaipa vachinatswa.Vazhinji vavaitenda
vaipiwa chipo chaMweya Mutsvene vachitanga kuporofita nokuporesa varwere.
2.Nerimwe vhiki,nomusi weChitanhatu;kwaive nomusangano wavatungamiri
kwaMasvaure,handina kuenda.Zvino vhiki rakazotevera,kwaivazve nomumwe musangano
wavatungamiri kwaMudawarima.Nokudaro Rev.Wright vakauya nopaSadza.Vaiva
naRev.Mangoni,vakamisa mota mumugwagwa pamberi pemba yangu,vachiridza
huta.Ndakati
kumukadzi wangu,Buda uvaudze kuti ndichambovata ndine hope nokuti taedzerwa
ndichibate
basa kwaTendayi.Mukadzi wangu wakaita saizvozvo,ivo vachibva vapfuura havo,ndokuenda
kwaMudawarima kumusangano.Pakudeuka kwezuva,vakadzoka napamba pangu.Ndakabuda
ndokuvakwazisa.Ipapo VaRev.Wright vakati, ‘Ko, wanga uripi mangwanani zvatapfuura
napano
tikaridza huta ukasabuda?Ndakati, ‘Ndanga ndiri pano uye kuti huta ndainzwandikatuma
mukadzi wangu kuti akuudzei kuti ndine hope dzokumunamato kwatavata tichibate basa
raMwari.Iye akati, ‘Ya,ndazvizivi izvozvo kuti mavata kumunamato,saka ndauya nepano
mangwanani ndichiridza huta.Zvino ndinokuudza nhasi kuti handidi kuzonzwazve kuti
munoita
minamato yeusiku.Handitenderi minamato yorudzi irworwo kuramba ichiitwa muno
muCircuit
yangu.Wazvinzwa here?.
3. Ini ndakapindura ndikati, ‘Mufundisi Wright, Ishe Jesu wakandituma kuparidza evhangeri
nokuporesa varwere saka handizoregi kuita minamato iyi.Iye akati,’ Hauzivi here kuti ndini
mubati weCircuit iyi uye kuti unofanira kunditeerera?.Ndakati, ‘Rev.Wright,unoziva kuti
nguva
dzose ndinokuteerera(ipapo misodzi yangu yakabuda izvo mwoyo wangu wakava netsitsi
kwazvo naye)asi ndinofanira kuteerera Ishe Jesu kupfuurewe.Ipapo akatanga kupopota achiti,
‘He-e Wati hauteereri munhu kukunda Mwari?Ini ndikati kwaari,’Chaizvo,nokuti Ishe
wakakupa
ufundisi hwako,ndiyewo wakandituma kuparidza nokuporesa,Huye kana ndiri ini ungaita
hako
zvaungada kuita pamusoro pangu,asi handingaregi kuita basa randakatumwa naIshe Jesu
rokuparidza nokuporesa.Zvino kwakavepo kunyarara pakati pedu kwechinguva
chakati.’Hameno,ndichanzwa Ishe kuti anoti kudiikana auya nhasi usiku,ndakadaro.Iye
mufundisi akati, ‘Ya,wogouya kwaKwenda noMuvhuro wondiudza kuti Ishe wati
kudii.Ndakati,’Zvakanaka saka vakamutsa motokari yavo vakaenda.
4.Mauro takanamata kuna Mwari zvikuru ndichimuzivisa dambudziko rangu pamusoro
peevhangeri yoMwanakomana wake Jesu.Ndakati kwaari,ini ndakanga ndazvipira
kugamuchira
kutambudzika kupi nokupi hako pamusoro pedzidziso dzaIshe Jesu Kristu.Uye kuti nyangwe
zvaizoreva kuti ndiburitwe basa roudzidzisi nokuda kokuteerera kuda kwaJesu
Kristu,ndaizozvigamuchira nomufaro mukuru.
5.Kwakazoedza,wava musi weSvondo,ndakazivisa pachena vanhu,navadzidzisi vose vaibata
neni kuti mufundisi muchena wakanga apesana neni uye kuti pamwe ndaizongoburitswa basa
rokudzidzisa.Ava vose vakasuwiswa namashoko aya.Nguva yesondo yasvika,takapinda
muchechi,ndikaparidza ndichisimbisa vadzidzisi pamusoro peShoko raJesu noupenyu
husingaperi kuti vakanga vakafanira kuchengeta kutenda dzidziso dzezwi raIshe,kusvikira
pakufa.Uye kuti ava vose vakanga vagamuchira chikomborero chomufaro woMudzimu
Unoera
vaifara kuuchengeta nyangwe munguva dzose dzokutambudzika.
6.Takabuda muchechi ndakaona Rev.Mangoni achisumuka pabhenji reshure
ndikashamiswa.Saka tava panze pamusuo ndakamukwazisa,akati kwandiri, ‘Handei kuofisi
yako.Takaenda tikapinda ndokugara pazvigaro.Zvino iye akati,’Ya ndatumwa
navaRev.Wright.Vati Ishe akazouya usiku here?Ndakati kwaari, ‘Ishe haati auya neshoko,asi
unoti kwaari, zvanzi ndinouyako kwaKwenda kuzomuona neChitatu ndaburitsa vana
muchikoro,kunyangwe Ishe auya neshoko kunyangwe asina kuuya naro.Unotizve
kwaari,zvanzi
handizoregi kuita zvandakatumwa naKristu Jesu, kunyangwe dai zvingareve kuburitswa basa
kwangu uye ndinouya nechitupa change.Rev.Mangoni wakatanga kundipa magazine
eHealing
Home yeSouth Africa achiti, ‘Unoziva here kuti pakurwara kwandakanga ndaita ndakazopora
ndateurirwa neHealing Home iyi?Saka ini ndinotenda dzidziso yaJesu Kristu yokuporeswa
kwavanhu nezita rake.Ini ndikati, ‘Nhai?Iye akati, ‘Kwazvo!Ko unganditenderewo here
kutora
plan yako-3? Ndakati, ‘Ungatora hako mufundisi.
7.Zvino nguva yesondo ya-3 yasvika,Rev,Mangoni wakaparidza achisimbisa basa raShe
randaiita.Akandisimbisa zvikuru nemharidzo yake.Mudzimu Unoyera akaburukazve nesimba
pamusoro pangu.Sondo yabuda,ndakaenda kuna Rev.Mangoni,ndikamubata chanza
ndichimutenda ndichiti, ‘Zvirokwazvo ngirozi yaKristu yauya nomauri kuzondisimbisa.
8.Nomusi woMuvhuro usiku,ndakazarurirwa chizaruro ndokuona ndava
kumavirazuva,munyika
yeEngland.Ndakaona Ishe Jesu amire pamberi pangu akatungamira tichifamba,iye ari
pamberi,ini ndichimutevera ndiri mumashure make tichikwira kumaodzanyemba kweEngland
tiri vaviri.Taifamba mudzinzira dzino uswa hwakasvipira,hwakachekererwa namaloni
akachekererwa zvakanakisa.Kumativi ose enzira kwaiva namaruva amarudzi ose.Takafamba
dakara tasvika muScotland.Tichifamba kudaro ndakaona pamberi pedu pane rwizi
rukuru,zvino
sezvo Ishe ari iye waiva mberi,ndakafunga kuti zvimwe achatya kudarika,ndikati
nechemumwoyo mangu,ndirini ndanga ndiri pamberi,ndingadai ndadarika.Saka pakarepo
Ishe
wakadarika rwizi,ini ndokubva ndadarikawo rwizi.Adarika kudaro akapinduka ndokufamba
achidzokera kumabvazuva ndichingomutevera.Ndakapepuka ndikanamata ndichitenda
Mwari.
9. Nechizaruro ichi, ndakaziva kuti vaRev. Wright vakanga vasisazondirambidza kuenda
mberi
neevhangeri ine mbiri yaKristu Jesu.Nokudaro, kwaedza, ndakaudza vadzidzisi vose navana
vechikoro, kuti ndakanga ndisisazoburitswi basa.Vakati kwandiri, ‘A! Ko magamuchira
tsamba
here yabva kwaMufundisi? Ndakati, ‘Kwete, asi kutoti Ishe ndiye wauya nhasi usiku
nechizaruro
chinoratidza kuti ndakundiswa.Naizvozvo vanhu vose vakafara zvikuru, zvavakaziva kuti
Ishe
wakanga auya kuzorwira muranda wake pasimba ravapinganidzi vedzidziso dzaJesu.
10. Nomusi weChitatu, pakudeuka kwezuva, chikoro chabuda, ndakatora bhasikoro rangu
ndokumhanyira kwaKwenda.Zvino ndakasvika paofisi, Rev.Wright wakandiona achibva
ati,’O!
VaMwazha, pindai.Ndichipinda, akatora cheya akaisapo akati, ‘Garai pacheya
apa.Ndakaitora
ndikagara pasi.Uyu wakava musi wokutanga kuti ndigare pacheya muofisi
yavaWright.Dzimwe
nguva dzose, kwamakore matatu, akanga apfuura ndichishanda pasi poutungamira kwavo,
handisakambenge ndataura navo ndigere pachigaro asi kumira ivo vagere.
11. Zvino wakatanga kutaura achiti, ‘Ndiudze maitiro auri kuita pakushanda kwako
pakunamatira varwere.Ndakavamba kurondedzera zvose ndichikota magwaro matsvene ose
nedzidziso dzaJesu.Saka akazotora Bhaibheri rakaitwa zvino, rina mavra akarongwa kunze
kuti
zvirege kunetsa kutsvaka magwaru.’Unorida here? Ini ndakati, ‘Hongu.Saka wakandipa
achiti,
‘Rinoita mari inokwana 9s.(mari inoenzana ne-90c mazuva ano)Ndakati zvakanaka,ndikatora
bhuku racho.Wakati, ‘Hongu,ini ndinotenda kuti Ishe Jesu wakandituma kuparidza
nokuporesa,asi handitenderi kuti vamwe vako avo vaite basa iri.Ndinotya kuti vangagotsausa
vadzidzi.Iwe ndinokutendera chaizvo kuita basa iri nokuti uri mutungamiri
akadzidza.Unoziva,kuEngland kwandiri vazhinji hembe dzapera nokubvarura
namadhimoni.MuEngland vanhu vanoungana vachiita basa raIshe iri zvokuti ungati
musangano.Asi vanoshanda ari masikati oMugovera.Ko imi munodiyiwo kushanda ari
masikati
oMugovera pano kushanda usiku? Unoziva here kuti usiku pamwe zvipfeve zvingangotora
chanzi kana kuti vamwe vanhu vakaipa vangangomutsa bope zvikaita ngozi? Ndakapindura
ndikati, ‘Kwete,handifungi kudaro nokuti Ishe omene anenge ainesu nguva dzose
pamisangano
iyi usiku hwose.Iye akati, ‘Chaizvo.Simba raIshe rinobata vanhu vose.Saka nokudaro
tinogona
kushanda basa rake usiku hwose,kuchiedza nguva dzose,pasina chikanganiso pakati pavanhu
vose.Zvino wakati,’Zvakanaka.Zvino ndiudze magwaro anopupurira pakushanda basa raIshe
iro
uri kuita.Ndakabva ndava mumweya pakarepo,ndokutanga kureva magwaro aya:-Mateo
10:17,18,19/ Mateo 28:18,19,20/Marko 16:15,16,17,18,19,20. Mufundisi wakazoti, ‘Enda
mberi
nebasa iri.Ini ndichaudza chichi yose kuti iwe unotenderwa kubata basa iri uye ndichaudza
mufundisi wokwaChideme,kuti iwe unotenderwa kuita minamato yavarwere kwese
kwese.Ndakamutenda ndikabuda muofisi iyi nomufaro waMweya Mutsvene,ndichidzokera
kwaSadza,ndichirumbidza Mwari.Ndakarumbidza Mwari nokuti akanga akonzerazve kuti
evhangeri ine mbiri yaJesu ipiwezve rusununguko mudunhu iri rose reCharter
District,muChivhu.
CHITSAUKO 19
MATIVI OKUTANGA KUPARIDZA NOKUPORESA
1.Shure kokupiwa mvumo yokunamatira varwere navaRev.Wright mugore iri,basa raMwari
rakava nembiri huru.VaWright ,kose kwavakaita misangano yaVatungamiri vaizivisa izvi
kuti,
‘Mwazha ane chipo chokuporesa varwere.PaSadza varwere vari kunamatirwa vachipora
muzita
raJesu.Nomumwe musi,VaCannan Bare vaisevenza muMvuma B.S.A.P Camp saTeliphone
Attendant,vakauya nomukadzi wavo airwara ndikamuteurira akapora.
2.Mumwe musi takasvika paZheke,kukauya munhu achiti tiende naye pamusha pake,paiva
namai vake vairwara zvokufa.Takasvika ndokuwana vavete vasingagoni kumuka.Takaimba
ndokunamata.Takapedza ndakasimuka ndokudaidzira nezwi guru ndichiti kuno unorwara,
‘Nezita raJesu,’simuka! Pakarepo murwere ,akamuka ndokugara.Ndakatizve kuno
unorwara,’Nezita raJesu,simuka.Wakasimuka akamira achibvunda.Ndakati kwaari,’Nezita
raJesu,famba!Wakadzedzeka akafamba.Ndikati,’Dzoka,akadzoka.Ndakati,
‘Pfugama,akapfugama,ndichibva ndaisa ruoko pamusoro pake ndokumuteurira.Takati
vamupe
kudya vakamupa akadya nokuti wakanga aporeswa.Wakasimuka
akati,‘Ndinotenda,ndaponeswa
naJesu.Vahu vose veguta iri vakarumbidza Ishe Jesu zvikuru pamusoro pokuponiswa
komudzimai uyu.
3.Kwava mangwana takadaidzwa muSachipiri Irrigation,maiva nomwana sikana
wamuEv.Kurehwasekwa,wakanga ava namakore achirwara.Takawana avete.Takatanga
kuimba
ndokunamata.Zvino ndakati kwaari, ‘Ishe Jesu anokuporesa,saka nezita
raJesu,simuka.Wakatanga kubudirwa nomweya wakaipa.Zvino ndakaraira mweya uyu
ndichiti,
‘Nezita raShe Jesu,buda maari.Mweya wetsvina wakachema uchiti, ‘Zvino togoendepiko?
uchimubvundisa.Ndakauraira nezwi guru ndichiti, ‘Buda maari uende kurima renyika
ugareko.Mweya wakaipa wakamusumudza ndokumumanyisa paze,ndokumupunzira
pasi,uchibva
wabuda.Musikana wakamuka ndokusimuka aporeswa.Wakatanga kuimba pamwe chete
nesu,achirova maoko achikudza Mwari.Wakatora chirongo ndokuenda kutsime kundochera
mvura.Adzoka,wakatibikira tikadya tose nababa vake navamwe vaivapo,tichirumbidza
Mwari.
4. Takabva muIrrigation ndokusvika paMagaisa patakanga tadaidzirwa mukadzi womwana
waMagaisa wairwara.Ndakamuteurira akapoara pakarepo akatishandira.Ndaiva naZakeu
Chitedega.
CHITSAUKO 20
JESU ANORAYIRA KUSHANDISWA KWEMVURA KUPONISA VARWERE ALPHA
NAOMEGA
1. Chizaruro chakauya ndokuona ndava kuGuvambwa padziva murwizi. Nechokurudyi
rwangu,
izwi rakataura riri mudenga richiti kwandiri, ‘Bata mvura iyi.Ndakati, ‘Ndinotya.Rikati
rwetatu,
‘Bata mvura iyi! Saka ndakakotamira mudziva ndokunyika ruoko rwangu rworudyi
ndokubata
mvura iya.Zvino izwi rakataurazve, ‘Ndini Alpha naOmega, nyoka dzose dzakaipa
dzaurayiwa.Ndakapepuka ndokurumbidza Mwari.Izvi zvakaitika padziva riri panyasi petsime
riya, pandakaona Ishe Jesu muna 1934.
2. Kubvira zuva iri, ndakatanga kubata mvura muzita raJesu, ndichipa varwere vachinwa
vachipora, ichisaswa, vane mweya yesvina ichibva pavari, vachiponeswa.
CHITSAUKO 21
KUMUTSWA KWAAMAI BEN MASVAURE
1.Mumwe musi,nezuva reSondo,panguva yenhatu,kwakasvika varume vaviri vaibva
kwaMasvaure vachiti vakanga vatumwa kuzondidaidza.Vakati,’Tatumwa naVaBen
Masvaure.Vati mai vavo vava neSondo mbiri vavete,vasisatauri,vangosara mwoyo
chete.Vanhu
vava nesondo mbiri vakangorinda urwere uhu.Vamwe vavanhu ava vakabva kure,uye mvura
yakaturuka zvokuti vanofanira kuenda kumisha yavo kundorima.Bva nokuda kokuti mai ava
vanonoka kufa chaizvo,zvanzi uyai munamate kuna Mwari wenyu kuti vafe havo zvino.Ini
ndakati kwavari,‘Endai munoudza VaMasvaure kuti ndinouya ndabuda Svondo,zuva
rorereka.Asi handizoita sezvavakumbira kwete.Ndichazokumbira zvinhu zviviri kuna Mwari
wedu,(1)kuti mbuya ava vamuke nhasi,vataure, vafambe,vadye.(2)Kana kuti vafe
nhasi.Chimwe
chezvinhu zviviri izvi chichaitika nhasi.Chiendai,tinotevera.Varume ava vakakasika
kudzokera.Isu takapinda sondo ya-3 ndokubuda.Ndakasarudza vakomana vanechitsama kuti
vaende neni.Vandinoyeuka ndiWilliam Dune naDhitoi Kepekepe.Takafamba tikapfuura
naparwizi,padziva riya pandakanzi naShe Jesu,‘Bata mvura iyi.Takasvika
paMasvaure.Takafamba mitunhu mishanu(5miles) apa.Takawana vanhu vazhinji vakarindira
urwere,vakadzi vakavesa moto wokubikisa panze pamisasa.Tapinda mumba,takaratidzwa
murwere avete asingagoni kumuka,kudya kana kutaura.
2.Vanhu vakafanira vakapinda mumba ikazara.Ndakataura kuvanhu vakanga vari mumba
umu,’Tasvika pano muzita raJesu.Pane zvinhu zviviri zvatauya kuzokumbira kuna Mwari
wedu,mumba muno nhasi pano.(1),Kuti mai ava vavete vamuke,vataure
vadye,vafambe.(2)Kana
kuti vafe nhasi iye zvino.Mazvinzwa mese here?Vakati,’Hongu.Takaimba rwiyo.126.
Dombo ndipe meso ndione.
Pauzuru kudenga
Ndivaone vano utsvene.
Vanofara kunaShe.
Takaimba mavhesi ose,ndokunamata kuna Mwari,samba raMudzimu Unoera richibva
randibata
chaizvo.Ndakaturika maoko pamusoro pomurwere muzita raJesu,ndokumuteurira.Saka
ndakaraira nezita raJesu kuti murwere amuke,akamuka,akagara.Ndakatizve asimuke muzita
raJesu.Akadzengedzeka akasimuka ndokumira achibvundisa mabvi ndokuzosimba.Ndakati
afambe nezita raJesu.Akananaira akafamba achibuda panze.Ndakamuraira kudzokera
mumba.Wakapinda mumba ndokugara pasi navamwe.Akatanga kutaura zvandakanga
ndamutaudza.Takati vamupe kudya akapiwa akadya.Naizvozvo vose vanhu
vakashamiswa,vachizunza misoro nokuona madambi akadaro anoitwa nezita
raJesu,muevhangeri
yake inembiri.Takarumbidza Ishe nenziyo pungwe.Ava mangwana kudaro,vanhu vose
vakadzokera kumisha yavo kundorima sezvo Ishe Jesu akanga apindura,chikumbiro
chavo.Ishe
akamutsa akanga asisamuki.Wakanga asisataure,wakataura akafamba akadya.Wavakanga
vakumbira kuti achifa,wakamutswa.Wakavata mavhiki maviri akaunganirwa nemhomho
yavanhu,wakamutswa noWamasimbaose nezuva rimwe.Vanhu vakashamiswa nezvinoitwa
nesimba reevhangeri ine mbiri yaJesu Mwana waMwari.Mukurumbira webasa roMwana
waMwari wakaenda kose kose,munyika yava Njanja neyaVahera,muCharter neBuhera
Districts.Nokudaro vazhinji vakauya navairwara namarwadzi amarudzi
ose,vachiporeswa.Takazonyanyisa kuparidza kukosha kwezita raJesu,nokushamisa
kokuponesa
kwake.
CHITSAUKO 22
JESU ANOMUZARURIRA ZVIRATIDZO ZVITSVENE
1.CHIRATIDZO CHOKUKUNDA NGIROZI YASATAN
Nomumwe musi, ndakaona muchizaruro ndivete usiku, murume muchena akangofanana
naJesu
achibva kumusoro kwakadziva kumabvazuva achiuya kwandiri.Akati zvino asvika pandaive,
ndakati, ‘Ndinokuziva ndiwe satan.Ndakamurova nechibhakera kamwe chete,achibva awira
pasi,ndokufa.
2.CHIRATIDZO CHOKUZODZWA KUTI ARCHBISHOP WECENTRAL AFRICA.
Chizarauro chakauya usiku ndichinzwa izwi raMwari richibva kudenga richiti kwandiri,
Archbishop weCentral Africa.Ndakapepuka ndikati,’A, ko iri shoko raIshe rinoreveiko?Inga
muchechi yedu yeMethodist hamuiti maBishop wani?
3.CHIRATIDZO CHENYENYE YAMWARI ICHIBURUKA PANYIKA MUSI WA -
17.2.1956
(1).Pakupera kwegore ra1955, muna December, ndakabva kwaSadza ndokunogara
paChirasauta
ndichishanda muchitoro nomunun’una Elijah Mwazha.
(2).Ndakatanga kunamata Mwari zvizhinji panzvimbo iyi, pamba nomumasowi.Vanhu
vanzwa
kuti ndava paChirasauta, vakatanga kuuya vachizondiona nezvokunamata.Takazotanga kuita
minamato yavarwere Mauro, chitatu chimwe nechimwe uye Mauro eSvondo imwe neimwe.
(3).Varwere vaiporeswa, navane mweya yetsvina vainatswa, mapofu aiona, vakatsingwa
makumbo vaisimuka nokufamba.Nokudaro vemachechi akakomberedza vaiuya kuminamato
iyi
navarwere vavo, vachibva Dembwa nest Cecilia nest Judes ne Chirasauta nest Elizabeth.
(4.)CHIZARURO CHAISHE JESU ACHIBURUKA KUDENGA AINE VATUMWA
VACHIIMBA ZVINOSIRIRISA VARI MUGORE JENA 17.02.1956
1. Zvakaitika kudai,ndakanga ndiri kumabvazuva ndichivaka imba.Mumwe murume
wakazondidaidza kuzopinda musangano muCentral Africa.Pamusangano ndakaenda patafura
ndikaripa 25c(2/6) ndokuchipiwa tikiti rohunhengo (membership card).Pamusangano uyu
taive
gumi navaviri kana kuti gumi navatatu,vakanga vava namakadhi ohunhengo.
2.Ndabva pamusangano uyu,ndakadzokera mabvazuva kundopedzisa kuvaka imba yangu
iya.Ndakatanga kusada imba yacho nokuti chidziro zvose nedenga zvaiva
zvamapango.Chidziro
zvose nedenga zvaiva zvipfupi pfupi.Chidziro chakanga chisati chanamwa ,nedenga rakanga
risati rapfurirwa.Ndakatanga kutsoropodza imba iyi ndichiti,’Handichadi chiimba
chamapango
chakadai.Ndava kuenda mabvazuva kundozvivakira imba yedombo.Ndakatanga kuenda
mabvazuva,ndokuchiona ndava kutungamirwa nomumwe murume wandakanga ndisingazivi.
3.Ndakazoona tasvika pazvikomo.Zvino ndakaona pamberi pedu mabvazuva,mabwe maviri
akanangana nesu,rimwe guru mberi,rimwe duku shure kwakadziva kwatiri.Guru iro raiva
mberi
rakanga rakareba chaizvo kuenda kudenga murume waive mberi kwangu akakwira pamusoro
pedombo rakadziva kwakadziva kwatiri,duku iri.Ini ndakabva ndakwirawo,murume uya
achibva
anyangarika.Handina kuzomuona.
4.Asi ndakasara ndamira paya paainge amire,ndakatarisana neshongwe huru yakareba kuenda
mudenga.Ipapo ndakazonzwa izwi richibva kudenga richiti, ‘Tarira,Nyenye yaMwari iri
kuburuka panyika.Zvino ndakatarisa mabvazuva,kumusoro kudenga,ndokuchinzwa kuimba
kunoshamisa dzutu,kuchibva mudenga,negore jena rezuva richibva mudenga richiburuka
panyika.Ndakadzikatirwa kuona gore iri neshongwe yedombo refu raiva mberi kwangu.Asi
ndakaramba ndichinzwa kuimba kunosiririsa kwaibva mugore.Ndakawona gore riya
richikwira
kumusoro uye mukati maro muchingoimbwa zvinotapira munzeve zvokuti shu.
5.Zvandakanga ndimire padombo ndakatarira gore richikwira kumusoro,ndakaona Africa
yose
yangoti sandarac sebani risina miti kana makomo,kunze kwechikomo icho ndakanga
ndiri.Ndakatarira kudaro,gore rakandomhara mugungwa rokumusoro kweAfrica rinonzi
Mediterenian sea.Ndakaramba ndichingonzwa kuimba kuchingobva mugore iro.
6.Gore iri rakati richitanga kusimuka,ndakaona rukova rwemvura ruchibva mugungwa
reMediterenian,paya pakanga pamhara gore,ruchiburuka napakati peAfrica,kusvikira
kugungwa
rezasi(Southern Ocean).Gore rakatanga kufamba riri pamausoro porukova urwu richiuya
kuzasi,ini ndakangotarira,uye kuimba kunoshamisa kwaibva mugore kwaingosvika munzeve
dzangu.Chidimbu chegore chakadambuka chikasara pakati peEgypt neIthiopia.Gore rakanga
rakatakura Mambo Jesu,Nyenye yaMwari navatumwa vakuru gumi navaviri vaimuperekedza
nokuimba kukuru.Gore rakaramba richiburuka,kuchamhembe riri pamusoro porwizi,dakara
rava
pedyo nechikomo pandakanga ndimire.
7.Ndakabva padombo ndokufamba ndichienda mavirazuva kurukova,kuti ndichingure
Mambo
akanga agree mugore jena,achiperekedzwa navatumwa vakuru vedenga gumi navaviri(Arch
Angels)nokuimba kunoshamisa kwaibva mugore.Ndakapfuura napaya pandaivaka imba
ndikairamba.Hezvo napayazve patakaita musangano tikapiwa matikiti ounhengo.Pakubva
apa,ndakaona ndava navarume gumi navaviri.Takafamba tikasvika parwizi kuti tigamuchire
mambo navatumwa vake.Takatarira kumusoro ndokuchiona gore rava pedyo nesu nokuimba
kwaibva mariri kuchitizadza nomufaro.Zvino gore raati ratarisana nesu,ndakazadzwa
noMudzimu Unoera,ndikadaidzira nezwi guru ndichiti, ‘Tarisa,ndinokanda muZion ibwe
rekona,rakashanangurwa naMwari rinokosha.Unotenda kwaari haanganyadziswi.Gore
rakafamba
richidzika,richitevedza rukova.Saka takamhanya tiriko mhiri,kumabvazuva korukova,kuti
tidimbure gore raMambo.Takanorindira tava nyasi.Zvino ndakaona michinjikwa yegoridhe
miviri iri pamashizha omuti wakasvibira,waiva pamahombekombe orukova,nechemhiri ioko
kwataiva.Ndakati kuna vandaiva navo, ‘Onai.Iyi ndiyo michinjikwa miviri yaMambo iri
kuzosara iri muCentral Africa.
8. Gore raMambo rakaramba richidzika norukova ndokusvikazve patiri, rakatarisana
nesu.Ipapo
ndakasvikirwazve noMudzimu Unoyera, ndikatanga kurumbidza Mambo neizwi guru guru
ndichiti, ‘Eli Jeso! Eli Jeso! Eli Jeso! Gore rakapfuurazve richingodzika kuzasi.Isu
takamhanyazve tichingotevera gore uye ndichingokudza Mambo ndichiti, ‘Eli Jesu!, Eli
Jesu!,Eli Jesu!,kudakara tasvika kuDrakensburg Mountains.
9. Tava zasi uko, ndakazoti kuna vamwe vangu, ‘Vakomana! Mambo achiri kumbogura
nyika
dzose.Saka ngatidzokere kwakare kugomo.Takadzokera kwakare ndokunosvika pagomo paya
panadakatanga kunzwa izwi rokudenga richiti, ‘Tarira Nyenye yaMwari iri kuburuka
panyika.Ndakapepuka ndikanamata Mwari.
CHITSAUKO 23
ZVIMWE ZVIRATIDZO ZVITSVENE ZVINOPIWA KWAARI MUNA 1956
1. CHIRATIDZO CHOMWEDZI WAKACHENA.
1. Musi wa-11.4.56, usiku ndivete, ndakaona muchizaruro, mwedzi wakanga wakachenesesa
uchipenya.Wakadonha kudenga ukaputsikira pamberi pangu.Ndakapepuka ndikanamata
Mwari.
2. CHIRATIDZO CHOMUNHU WAIBVA KUGOMO RINONZI CHOMUTUMBI.
(1) 8.5.56 Chizaruro.Usiku ndivete kwakauya munhu wakabva kugomo rinonzi
Chomutumbi,riri
kumavirazuva kwegomo rinonzi Chirasauta.Wakadaidzira achiti,’Ishe arikuzoita musangano
pakakomo ako.Ndakatarira ndokuona musasa pagwandu reChomutumbi.Ndakati,’Musasa
waL.D.O.Murume uya wakabva aenda.Pakarepo ndaaona mukomana wechiduku amire zvake
pahwindo riya,kumabvazuva kweimba yandainge ndivete.Wakati kwandiri,’Munoziva here
kuti
muraini umu vanhu vanonwa doro?Ndisati ndabangopindura,wakatizve,’Ko munoziva here
kuti
chingwa chamunodya ichi hachibvumirwi pamutemo wokunamata?Achidaro wakatanga
kuchinja ruvara kusvikira ava muchena,achibva anyangarika.Ndakamuka
ndokunamata.Ndakabva ndarega kudya chingwa,doro ndakanga ndagara
ndisinganwi.Ndakakotsira ndokuvata.Zvino ndakazozarurirwa ndichiimba Isaya 12.
CHIZARURO CHAVARUME VAVIRI 15.11.1956
1. Ndakaona varume vaviri vazere noMweya Mutsvene vachiuya kwandiri vachiti, ‘Iwe uri
muranda waMwari ane chokwadi.
CHIZARURO CHOKUFAMBA MUSANGO 26.12.1956
1.Ndakanga ndichifamba ndiri musango,mumatondo asina vanhu,zasi kwenyika
ino.Ndaifamba
ndiri ndega ndichikwira kuno kumusoro.Zvandakanga ndava pakati pedondo,ndakaona
kamba
keraundi kakapfirirwa nouswa.Ndaswedera pedyo,ndakaona paino murungu waigarapo
mudondo
umu ega ega.Wakatora rambi raibvira,akandipa.Ini ndakagamuchira rambi iri,ndokufamba
naro
ndichikwira kuno kumusoro.Kwakaga kwava norukundaidzo.Ndangofamba nhambwe
shomana
kubva pamurungu uyu,ndakanhonga ibwe regoridhe raikosha,nerimwe redhaimani raikosha
zvakanyanya kukunda regoridhe.
2.Ndakati, ‘Ndava kuenda kuHarare nemabwe aya,kuvarungu vanoziva zvokukosha
kwemabwe
ndigoatengesa.Ndakaenda ndikasvika Harare (Salisbury).Ndakaona murungu waita basa
rokuzivisa kukosha kwamabwe.Ndakamupa ibwe rokutanga regoridhe akariyera akat,
‘Rinokosha zviuru zvepondo .Ndakamupa redhaimani akati,rinokosha mamiriyoni
epondo.Ndakafara zvakanyanya ndikati, ‘Nezviuru zvepondo ndichavakisa imba yangu
kuHighfields,nemamiriyoni epondo ndichachengetesa mhuri yangu neshamwari dzangu
dzose,upenyu hwose.Ndakapepuka ndokunamata.
CHIZARURO CHENZVIMBO YOKUCHEMERA ZVINONETSA 22.12.1956
1.Ndakanzwa izwi richiti, ‘Kana munhu aine zvinomumanikidza akachema ari pagomo
reChirasauta,Mwari anomunzwa.Pakarepo muchizaruro ndakaona ndava pamusaro pegomo
reChirasauta nomumwe murume panguva yorukundaidzi,tichinamata Mwari.
(3).CHIZARURO CHOMUTEMBERE NDICHITANDA SATANI NOMUCHINJIKWA
13.6.1956
1. Zvandakapinda mutembere yaMwari muCentral Africa,ndakaona Satani
atovamo.Ndakatora
muchinjikwa waJesu,ndokumurova nawo.Wakaramba achingogwambaira,achipota-pota
nouriri
hwetembere.Ndakaramba ndichimutevera ndichingomurova nechipiyaniso chaMambo
Jesu.Wakazobuda nomusuo wavazhinji asi ndakazoona opindazve makare nomusuo
wavatungamiri.Zvino ndakazomurovazve,achibva agwambaira achienda seri
kwearitari.Ndakamuteverako ndikamurova chaizvo,achibva aburuka achibuda mutembere
kusvika yazara.Kukurumbidza kukuru kwakapiwa kuna Mwari nokuti Satani wakanga
akundwa
nomuchinjikwa waShe.Ndakapepuka ndikanamata.
4CHIZARURO CHOMUDZIMU UNOYERA 22.10.1956
22.10.1956.Chizaruro.Ndivete ndava muchizaruro ndakadaidzira muMudzimu
Unoyera,’Thou
the greatest spirit who hast come to make thy residence here on our earth.
(5) 26.10.1956 Ndakakwira gomo refu refu ndichimhanya.Ndakasvika panhongonya
paro,pakati
penzere,ndikagara pabhenji randakawana riripo.Mukushamiswa kwangu ndakaona ruoko
rwangu
rworuboshwe rwava nezvimwe zvinhu zvinoremberera,zvinoyera.Chimwe chakanga
chakareba
chaizvo kupfuura chimwe,chichirembera kusvika pasi.Izvi zvitsvenetsvene zvaishamisa
kwazvo.
(6)CHIZARURO CHEIZWI RICHITAURA 28.10.1956.
28.10.56.Chizaruro.Ndakanzwa izwi richiti, ‘Jesu murevereri wedu.’
29.10.56.Ndakanzwa izwi richiti ‘Muponisi.’
(7)CHIZARURO CHEIZWI RICHITAURA 28.10.1956.
3.11.56. Chizaruro. Ndakaona vapirisiti vatema vatatu vechechi yeRoma vakauya
kwandiri.Takapinda mutembere yaMwari, mumwe wavapirisiti vatatu ava wakapfugama
pamberi
pangu.Ndakaisa maoko pamusoro pake ndichiti, God save the Priest.Ndakamuka ndikati, ‘A!
Mwari, handina kukodzera kabate basa rinoyera rakadaro.
CHITSAUKO 24
NYENYEDZI YASHILO
Mwoyo wangu unokudza Mwari,mudi woupenyu hwangu,kana ndichirangarira nyasha
dzaakandiitira,nomusi weKirisimisi,zuva rovira,musi wa-25 December 1956,pagomo Dzvene
reChirasauta.Zuva iri risati rasvika,Mwari wakaratidza vanhu vana vaigara kumaruwa
akasiyana,zvose zvaizoitika pagomo iri kwandiri,zvichibva kuna Mamboane mbiri.Zvakaitika
kudai.Nomusi woMugovera,ndakaona Mafoti naChitedega vasvika.Chitedega
wakati,’Ndauya
nomukomana uyu Mafoti.Wakarota achikuona uchinamata naye pagomo
paChirasauta,pamabwe
marefu machena ayo.Zvino ndauya naye kuti mangwana tigononamata newe ipapo nokuti
anoti
wakaona uchibatwa noMweya waMwari zvizhinji,zvaainamata newe ipapo.Ini ndakati,
‘Zvakanaka.Mauro tapedza kudya takanamata ndokuvata.Zvino kwaedza,mangwanani
makuru,ndakaona Fanuweri Govere asvikawo.Iye akati kwandiri,’Handei
kunonamata.Takasiya
vamwe vari pamba tichienda kurutondo ndokundonamata.Tapedza,takasimuka kuti tidzokere
kumba,Govere akati,achingonongedzera kugomo, ‘Unoona mabwe machena marefu
ayo,pamapako ayo?Ndakati, ‘Hongu.Akati,’Ndakarota ndichinamata newe mubako iroro
iro,ipapo Jehovha wakakuzadza noMweya zvikuru.Saka ndauya kuti ndinonamata newe nhasi
ipapo.Ini ndakati kwaari,Zvakanaka,asi iwe wava wechipiri,Mafoti wakarotswawo
saizvozvo.Saka waona ari pamba pangu vose naZakeu Chitedega.Takaenda kumba kuna
vamwe.Shure kokusvusvura,takaenda kusondo paChirasauta Methodist
Church.Tichangosvika,ndakachingurwa nomumwe mukadzi anonzi Runia Takawira achiti
kwandiri, ‘Muranda waMwari,nhasi ndarota ndichikuona uchinamata uri mugomo
paChirasauta
pamapako ayo.Wanga uino mumwe murume.Asi Jehovha wakudhakisa. noMudzimu
Unoyera
chaizvo.Ndakazonzwa uchingoti, ‘Ariruya Amen Jesu,Tenzi Jehovha,’Dai muine nguva
zvainaka kuti mumbononamatapo.Ini ndakati kwaari, ‘Ndzvozvo,iwe wava wechina
pamashoko
awa.Taronga kuti tindonamatapo kana tabuda svondo.Takati tosvika pamba yamuEvhangeri
Dahwa,wakatanga kuti,’Muranda waMwari,nhasi ndarota ndichinamata newe
pagomo,pamapako
ayo,paChirasauta asi Mudzimu Unoyera wazokubata chose.Ndakati kwaari,’Wava wechina
iwe,saka uchiona varume ava vauya vakarotwawo zvmwezvo.Ndzvo taronga kuti kana
tabuda
svondo tononamata ipapo.Takapinda svondo ndokubuda.Saka ndakatora varume vanomwe
vanoti,(1)F.Govere (2)Zakeu Chitedega (3)W.Dahwa (4)Mafoti (5)Nhondoro (6)F.Mubayi
(7)
E.Tendai,ndokuenda kugomo.Takasvika mugwandu megomo,takaimba,ndokunamata
mubako.Takakwirazve ndokunamata panzvimbo yechitatu.Apa Mweya waMwari
wakandibata
nesimba zvikuru kwazvo zvandakanga ndanamata ndakaisa chipfuva paDombo.Tichibva apa
takakwra nomukana wakaoma chose,tikasvka mubako raMwari.Umu makaimbwa
kukanamatwa.Saka nokudaro ndakanga ndakapfugama ndiri kurudyi ndakabatana neDombo
kurudyi rwangu.Yakati nguva yakwana,Mweya waMwari wakazadza chipfuva change
zvikuru,ndikatanga kutaura namamwe marimi.Simba raMwari rakazadza nyama yangu
yose.Gumbo rangu rorudyi rakanga rakazembera Dombo,rakatanga kusmudzwa.Zvino
Mweya
wakatanga kudaidza Shiloh.Ipapo ndichidaidza Shiloh! Shiloh! Shiloh!
noMweya,ndakasimudzwa, kwava kubiswa pana vamwe vangu,ndiye neni tande,kwava
kugadzikwa pamusoro peDombo pasingagoni kukwirwa nomunhu.Ndakagara pamusoro
peshongwe iyi yeDombo refu,ndakatarira mabvazuva.Ipapo Mweya wakanditaurisa marimi
akawanda,ndichibva ndaona Nyamasase pamamudazuva kuti ngari ngari kupenya.Mweya
wakanyanyazve kutaura marimi asi ini ndakati mumwoyo mangu,ko zvaita sei kuti
nyamasase
ibude kunze kusati kwasviba kudai,uyezve dzimwe nyenyedzi dzisati dzabuda.Saka
nokudaro,Mwari worudo rwose,mudzidzisi mukuru wavanhu vake,achida zvino kundiratidza
pachena kuti nyamasase yandaiona iyo chaive chiratidzo chake,nyamasase yakatanga kudzika
kwakare kumabvazuva,zvishoma nezvishoma dakara yati todzvi kunyura.Mweya zvino
wakanyanya kundifasa,namarimi akawanda nokuti zvakanga zvava pachena kwandiri kuti
chiratidzo chinobva kudenga kuna Mwari wangu.Ndakanyanya kuda Mwari wangu,naJesu
Kristu Mubatsiri wangu.Ndakarumbidza Mwari Wamasimba ose,iye unotida,zvedu zvose
mune
zvose.Ndakatarira kudaro ndiri muMweya ndimire pamberi paMwari wepasi pose,pamusoro
peshongwe yeDombo,ndakaona nyamasase iya ichitanga kubuda kakare.Yakasimuka
ichikwira
zvishoma nezvishoma dakara yasvika paya pandakatanga kuiona iri.Yakapenya chose
pamberi
pameso angu.Ndikati, ‘A! Inga Mwari mune ngoni dzakanyanya kwandiri.Sei muchinyanya
kundida zvakadaro?Inga nhasi ndimire pano pamberi payo,iyi mbiri yokudenga.Mwari
munofadza mwoyo wangu nhasi,nokunakisa kose kokudenga.Pangu iyo ndakadhakiswa
nomufaro wose wedenga,ndaiita sendapinda munyika yavapenyu.Izvi zvose ndainge
ndichitaura
muMweya namarimi kuna Mwari anondida.Mwari wangu wakanaka.Zvino ndichida kuti
vamwe
vangu vaonewo zvandaiona,ndakadzima Mweya ndokuchitanga kudaidza,Varume,varume.
‘Baba,vakadaira.Ndakati, ‘Kwirai kuno nomukana uyu,kasirai.Zvino pakarepo vasati
vasvika,nyamasase yakati pa-a,ndiye kumusoro kwakadziva kumabvazuva nyobi
kunyura.Vaya
vakasvika pavaigona bedzi kuona kumabvazuva,asi Havana kuona chinhu.Nyamasase
vakaona
yanyura.Ndakati Mafoti animate.Wakanamata asi Nyamasase haina kuzobudaba.Ndakati,
‘A,Mwari wandiita sei? Ndanga ndati muzoona nyamasase yaShiloh yandanga
ndichiona,zvino
pandakudaidzai yabva yanyura.Chitedega Zakeu wakapindura akati, ‘Aiwa,chiratidzo change
chisiri cheduba,asi chako iwe woga.Saka waona chabiswa pawangotidaidza.Ndakati, ‘Zvino
ndenge ndaita manyepo.Iye akati, ‘Kwete,isu hatina kutenderwa kuzviona.Ipapo
vakabatsirana
kundiyamura kuti ndibve pamusoro peshongwe iyo yeDombo pandakanga ndakwidzwa
naMudzimu Unoyera.Zvino toburuka kudzika mubako muya mandakanga ndabiswa
noMweya
waMwari,takatanga kuona kuchena kunenge kwechando pose pose pataitarira,pamabwe,kana
pavhu,kana pamashizha.Takasvika mubako tikawna makachena kuti ngwe-e pose
pose.Varume
vose vakabva vabatwa noMweya ndokutaura nedzimwe ndimi vose,vachikudza Mwari anoita
zvishamiso zvikuru zvakadaro.Vakatanga namaoko, vamwe vakatanga kudaidzira vachiti,
‘Huyai
muone mana iwe! Ndakavaninira namaoko ndichiti, ‘Musazvitumidze zita.Vamwe vakati,
‘Ngatitakure tiigire vari kumusha. Ndakati, ‘Kwete.
CHIRATIDZO CHECHIEDZA CHIKURU MUGOMO CHAKAITIKA UNA JESU AINA
PITA
NAJOHANI
Mateu 17:1-3
Marko 9:2-13
Ruka 9:28-36
Ndizvo takanamata tikaburuka gomo tizere nomufaro waShe.Tava mugwandu megomo,
takanzwa mumwe murume wainzi Mujeye, waidzidzisa paChirasauta, odaidzira achiti
kwatiri,
‘Varume, uyai munditeurire.Handichagoni, ndatsemurwa musoro.Takati kwaari, ‘Ko zvaita
sei?
Akati, ‘Ndanga ndakuteverai ndichida kukwirawo gomo kuzonamata,bva ndazati ndasvika
pano,ndatsemurwa musoro zvokuti handichagoni kana kusimuka.Ndapota,kasirai
nditeurirei.Mumwe wedu wakamhanyira ndokumuteurira achibva aita zvakanaka.Takati
kwaari,
‘Usazvipamhidza,Gomo hariokwirwi nomunhu asina kuzvinatsa,kana rayereswa
neminyengetero.Takafamba tichidzokera kuChirasauta Township.Tasvika,tisati tapinda
mumusha,muporofita kadzi anonzi Mai Gwavava,vakasvikirwa naMudzimu Unoyera
vakadaidzira vari mumusha vachiti, ‘Musati masvika ndinokutaurirai muriko kunze komusha
kuti,mugomo mamanga muchinamata maona chiratidzo chikuru kwazvo.Varume
vakapindura
vakati, ‘Hongu.Muporofitakadzi wakati, ‘Mwari anoti chiratidzo kwamuri chokuti,Mwazha
wamakwira naye uyu,muranda wangu.Asi Mwari anoti hazvina kupera.Zvanzi mangwana
muchafanira kukwira pakare,aende nomunun’una wake Elijah,kuti vapiwe humwe chete.Uye
ndirikuona vanofukidzwa mucheka muchena pamwe chete,uye ndirikuona bako pamire
murume
anonziTomasi,akabata hangaiwa mumaoko ake yechibairo chokuvasanganisa.Takazopinda
mumusha ndokutanga kunamatisa vanhuvakanga vakaungana.Kwaedza,zuva rodeuka
takadzokera kugomo tava naElijah,sezvakanga zvarebwa naMweya Mutsvene.Takasvika
pabako
ndokupinda,ndokuimba,ndokunamata.Tichinamata kudaro,ndiri panzvimbo yangu
iya,ndakaona
ndichigamuchidzwa kabheura kane hangaiwa yakanamatidzwa pademo racho,iri
mhenyu.Ndakagamuchira ndichibva ndatambidzawo Elijah,achibva ati kacha
kugamuchira,chizaruro chichibva chapera.Takapedza munamato,ndokuzosimuka
ndorondedzera
vamwe izvo zvandakanga ndaona.Takabva mubako kwasviba asi hatina kuona zviya
zvatakanga
taona Mauro akapfuura.Takaburuka gomo tichiimba nomufaro mukuru ndokudzokera
kumisha
tava norugare.
CHITSAUKO 25
ZVIRATIDZA ZVAKAITWA NEZITA RAJESU
MuCharter District, Enkeldoorn, kwava kunzi chivhu, kubvira mugore ra 1957 zvichienda
mberi,
basa raishe wedu jesu kristu rakanyanya kuitika pachirasauta nedunhu rose rakatenderana.
1. Mumwe musi ndakaona Ndyara asvika achiti, valsaya mutyasira vava kurota, vangosara
pamwoyo chete. Zvanzi huya uvanamatire. Ndakaona bhasikoro ndokuenda nomurume uyu
Chirisa kwaMutyasira. Tiri munzira, toda kusvika ndakaona nyenyedzi ichibva mabudazuva
,ndokundomhara pamba pataienda.Ndakati kuno wandaiva naye, ‘Ko nyenyedzi waiona here?
Akati,Kwete.Takasvika mumusha uyo ndokuona vanhu vangoti ware ware,vazara musha
wose.Vakanga vabva mumisha yakakomberedza vaunganira rufu urwu.Varume vaviri
vakandichingura ndikavaudza kuti vanyararidze vanhu vose vaichema vachiridza
rukunga.Vakavaraira kuti vanyarare,vose vakanyarara.Takapinda mumba maiva
nomushakabvu,ndikati kuna vaivamo vachichema, ‘Handiti mandidaidza kuti ndizonamata
Mwari pano pamusoro pezvaitwa izvi?Vakati, ‘Hongu.Ndakati, ‘Zvakanaka.Saka
chimbonyararai mose kuchema ndimboteura kuna Mwari.Vakanyarara vose.Ndizvo
ndakaraira
kuti vabve pedyo nomushakabvu vose,vagare kure.Vakaita saizvozvo,ini ndokuchipfugama
namabvi ndakatarisana nechitunha,ndokunamata Mwari.Nokudaro ndakasvikirwa
naMudzimu
Unoyera.Wakanga avete afa achibva amuka,asvikirwa noMudzimu Unoyera achidaidzira
neizwi
guru achiti, ‘Ariruya! Ariruya! Ariruya! Wakasimuka musimba raMudzimu ndokubuda panze
achimhanyiswa naMudzimu waMwari achingoti,’Ariruya! Ariruya! Ariruya! Wanikwe zvino
vanhu vangoti kutarira dyu,vashamiswa nokuona munhu wakanga afa,vachimuchema,amuka
achimhanya-mhanya nokudaidzira neizwi guru.Mumweya waMwari akadzokera mumba
ndichibva ndamuraira kupfugama pamberi paMwari.Wakaita saizvozvo,ini ndokuisa maoko
pamusoro pake,muzita raJesu,ndokumunamatira kuna Mwari.Ndakati vamupe
kudya,vakamupa
akadya nokunwa.Vanhu vose vakadzokera kumisha yavo vachifara nokushamiswa
nezvakanga
zvaitwa noruoko rwaMwari,kuburikidza nomuzita roMwanakomana wake woga
Jesu,muevhangeri yake ine mbiri.Vakarumbidza wamatenga,ane tsitsi pamusoro porudo
rwake
rukuru,kunzwa izwi romunhu anodaidzira nokumutsa wakanga afa parufu.Nokudaro mbiri
yakasvika kwose yesimba reevhangeri yaMambo Jesu.Vanhu vazhinji vakazotanga kuuya
navainetswa naSatani nehosha,nenhamo dzemarudzi dzakasiyana vachiponeswa muzita
raIshe
wedu Jesu.
2.Mumwe musi VaMungore vakasvika vakati, ‘Hanzvadzi yangu Marunjeya anonetswa
nengozi
yakamubata.Kwava nemakore akati.Zvino baba vangu vati muzomunamatirawo kuna Mwari
kuti
aponeswe.Ndakaenda,panguva yemauro,ndokupinda mumba,wanei,a,mwanasikana
wakazvambarara pauriri achizvirovera musoro pasi.Ndichiona makungirwo akanga akaitwa
mukadzi uyu nengozi iyi,nokunzwa maombero aaiita,ndakabatwa nokutya
kukuru.Ndakatangisa
kufunga mazano okunzvenga kumunamatira.Saka ndakatanga kuti,’Kuti ndimunamatire
mukadzi
uyu,imi mai vake nemi hanzvadzi dzacho motomboreurura.Ivo vakati, ‘A,tingareurure
mukadzi
mukuru uyu here?Kwete,asi kuti umunamatire agozoreurura ega kana aponeswa.tichiri
mukutaura kudaro ndakazadzwa naMweya Mutsvene ndokusimudzwa ndichidaidzira nezwi
guru
ndichiti, ‘Ariruya!Ndakasimudza maoko ose kudenga.Nokudaro uya mukadzi wakanga
achizvirovera musoro pasi wakasimudzwa naMweya Mutsvene achidaidzira achiti,Ariruya!
Ariruya! Ariruya! Achibva aponeswa.Ndakazomuraira kupfugama pamberi paMwari,
ndokumunamatira.Kubvira musi iwoyo kusvikira pazuva ranhasi, mweya wetsvina hauna
kuzomubatazve nokumutadzira.
3.Nomumwe musi ndakadaidzwa kwaChidziva,kwaiva nomwanasikana waErija
Chidziva,mukadzi waticha Magwenzi,wakanga arambira nemimba.Tichinamata mumba
umu,mukadzi uyu akagara ngoma akakombwa navananyamukuta,akakwidibirwa
namachira.Mudzimu Unoyera wakasvika mandiri,ndikavataurira kuti mukadzi uyu waiva
nomwana mukomana mudumbu make,huye kuti waizosununguka musi uyu
wakare,pakudeuka
kwezuva.Zvakaitika saizvozvo.Mukadzi uyu ariko nanhasi,nomurume wake.Kubatsirwa
komukadzi waJefuresi Magaba.Zvakaitika kudai.Mumwe musi tiri pamunamato weChitatu
mauro,VaLeonard Mushoriwa vakasimuka vakati,’Ndino mukadzi womunin’ina wangu ane
mimba yava nemwedzi misère,asi haatambi.Mukadzi uyu ari kutambudzika chose nepfungwa
uye nokutya kuti pamwe achafa nemimba iy.Ndakapindura muMweya ndichiti,’Kutamba
kwemimba inhema,kusatamba inhema.Endai mundouya naye,ndimunamatire kuna
Mwari.Saka
VaMushoriwa vakanoudza Mai Magaba mashoko aya,vakabva vatenda.NokudaroneChitatu
chakazotevera vakauya vose kumunamato.Mukadzi uyu wakasimuka achireurura zvivi zvake
nokurondedzera mabasa ake ose.Musoro wake wainge usina kusungwa,bvudzi rakareba
nokumonana nokuda kokufunga nhamo iyi.Nguva yokuteurirwa kwavanhu
yakasvika,mukadzi
uyu,pajana rake akauya pamberi akapfugama pamberi paMwari.Zvino ndiri Mumweya
ndakadudzra shoko raMwari kwaari ndchiti, ‘Mwari wati,muchasununguka
zvakanaka,mwana
mukomana kana mazuva okubereka kwenyu asvika.Zvino nguva yavo sati yasvika
yokusununguka,mimba yakatanga kutamba.Vakazoti zuva rasvika,vakasununguka
zvakanyatsonaka,mwana mukomana.Vakamutumidza zita rokuti Ishmaeri,sezvakanga
zvataurwa
naMwari.Mukomana uyu ariko iye zvino kuSt Benard Muziki,ari kufunda Form 11,zvandiri
kunyora bhuku iri.
Mumwe musi mumwe murume waive muparidzi muchechi yeEngland past.
Elizabeth,waigara
pamusha waive pedyo neChirasauta,wakarohwa nechitsinga akasunga mombe dzaaichayira
kuti
arime gadheni.Wakawira pasi rutivi rwose rworudyi ruchibva rwaoma,gumbo
noruoko.Wakatakurwa ndokuiswa mumusha,mumba.Shure kwemavhiki maviri arere,achiti
kana
oda kuenda panze waisimudzwa,vakatuma munhu kuzondidaidza kuti ndimunamatire kuna
Mwari aporeswe.Ndakaendapo ndiine mumwe wandainamata naye wainzi Firijiyasi
Gunzvenzve.Wakareurura ndikaturika maoko pamusoro pake muzita raShe
Jesu,akaporeswa.Mitezo yake yose yakasimba nokushanda kusvika zuva ranhasi.
6.Mumwe musi pakati pousiku tivete takanzwa kugugudza pagonhi ndikati,’Ndiwe ani
?Akati,
‘Ndini Davison Mushipe ndauya nomwanakomana wangu wapamusana anorwara
zvokufa.Ndauya akaberekwa naamai vake.Uyezve tezvara wangu nomukadzi wake,naamai
vangu nedzimwe hama varipo vauyawo neni nokuti ukosha hwomwana hwakurisa
chose,munhu
waMwari.Ndakamuti, ‘Chiendai mumba yavaeni iyo muvate,ndokuonai mangwana
kwaedza,ndonamatira mwana.Saka handina kumbozozarura musuo kuti ndione kwete.
Vakaenda
kumba yavaeni saizvozvo. Kwaedza,ndakavaona ndokunamatira mwana asi wakatenge
aporeswa
nechekare.Ndakati kwaari, ‘Ko,ndihwo urwere here hwamauya nahwo usiku makawanda
kudai?
Baba womwana akati, ‘A,Mwari wenyu anoshamisa baba.Mwana wakanga achirwara zvokuti
hatina kunge tichaziva kuti tingazosvika naye pano achiri mupenyu.Asi kungosvika bedzi
kwatakaita munhandare menyu,mwana wakatanga kuita zvakanaka.Nokudaro murume uyu
neveimba yake yose vakatenda kuna Mwari dakara zuva ranhasi.Iye Davison Mushipe
nhasi,mumwe wavafundisi muchechi iyi yaVapostora veAfrica muno muCentral
Africa.Vanhu
vazhinji kwazvo,vaibva kumativi ose eChirasauta,vachiuya navairwara nehosha
dzamarudzi,namarwadzi endudzi dzose,vachiponeswa vose naShe.
7.Kuporeswa kwaVaGombe.Musi mumwe ndakadaidzwa kumusasa kwairwarira mumwe
wedu
pakutenda,wainzi Gombe.Ndakasvika apo ndiina Mr Mukumba.Takawana mukuru uyu avete
mumusasa achirwara chose,zvokusadya nokusataura,kana kumuka panhoo.Takaimba rwiyo
ndokunamata.Zvino ndakasimuka mumweya, ndokutangazve kutaura naShe,ndakatarira
kudenga
ndichiti, ‘Ishe Jesu,Iwe wakandituma kuparidza evhangeri yako ine mbiri,nokuporesa.Onaka
Mambo,murume anotenda uyu avete,anorwara chose.Chiuyayika Tenzi mumuporese.Ndimire
kudaro ndichitaura ndakatarira mabvazuva ndiri muMweya,ndakaona Ishe amire pamberi
pangu
mumhepo akatarirana neni,ari pedyo neni.Ndakati, ‘Zvakanaka Tenzi wangu,ndinotenda
mauya.Zvino chiturikai henyu ruoko rwenyu pamusoro paanorwara uyu,aponeswe.Ipapo
Tenzi
Jesu wakaenda pedyo nomurwere,murwere ndokuisa ruoko rwake pamusoro
pomurwere,murwere achibva awira pasi ndokufa.Ipapo ndakatanga kuti, ‘Aikazve Ishe,ko
zvaitasei Mambo wangu kuti munhu uyu afe?Handitika ndakudaidzai kuti muzomuponisa?
Tenzi,murume uyu ngaamuke agare.Wakamuka murwere uya akagara.Ndakati,Tenzi,murume
uyu ngaapone,asimuke afambe.Wakasimuka ndokufamba achienda kumusha kwake
apona.Ndakati,Hamuonika Ishe,ndinotenda.Saka mazuva ake ngaawandiswe.Ndakaona
murume
uya atosunga mombe rava zhizha,otorima hake minda yake.Ndakatendazve Ishe zvikuru
ndichiti,
‘A’Ishe wangu,ndinokutendai.Makanaka imi,Mwari wangu.Ngaararame chaizvo murume
uyu,akwegure.Ipapo ndakazoona murume uyu Gombe agara pamusoro pegore,musoro wake
wachena bvudzi rose.Ndakapedza kunamata,Ishe achibva anyangarika.Saka ndakatanga
kutaurira
vose vaivapo,mumusasa uyu izvo zvandakanga ndichiona.Ndakaona zvino uya murwere
akangovata paya paaingova ari tisati tatanga kunamata.Ndakazivisa vose kuti waizotanga
kumuka nokufamba nokudya apona nomusi wakare uyu maererano nezvandakanga
ndaratidzwa
naIshe Jesu pakusvika kwaakanga aita kwandiri.Zvino ndakazoisa maoko pamusiro
pomurwere,achibva aporeswa pakarepo.Saka vakatanga kubva pamusasa
uyu,Gombe,wakazorarama chose,sezvandakanga ndaratidzwa naKristu,kusvikira achene
musoro.Mwari wedu ngaarumbidzwe,zvikuru nokuti rudo rwake kwatiri isu vanhu vemupasi
rino,rukuru chose chose.
CHITSAUKO 26
THE AFRICAN APOSTOLIC CHURCH
Zvino nenguva iyi kusvikira nhasi uno,Ishe wakashanda neni mubasa iri rose rokuvakwa
komuviri wake,iyo kereke.Avo vakagamuchira norutendo,dzidzso yeizwi raJesu,vakatanga
kuwanda chaizvo muCharter neBuhera Districts.Nokudaro,varume vaive vatungamiri
veShoko
raIshe,vakatanga kuuya kwandiri vachiti, ‘Mudzidzisi,tinoda kuti mutiitire chech tibude
mumasangano avanhu aya atiri,nokuti hamuna Mwari.Ini ndakavapindura
ndichiti,’Kwete,hazviitike kudaro.Tinobata hedu basa raMwari nenzira itsva mhenyu iyi asi
tichipinda hedu mumasangano iwaya atakangogara tiri.Ivo vakati,’Hongu
hazvo,zvingadaro,asi
vanhu vamasangano atiri kupinda aya havatendi samba raKristu Jesu,uyezve vanodzidza
nokumhura dzidziso dzeShoko rine samba raMwari.Ini ndakati,’Kunyange hazvo
zvakadaro,asi
handitenderi kuti tibude mumasangano ayo tiri maari,kwete.Zvino mumwe musi tiri murori
navadzidzi,tichibva kumusangano kwaMudanda,Buhera,tava paMurambinda pedyo
nebhiriji,ndakanzwa izwi raMwari richibva kudenga richiti, ‘THE AFRICAN APOSTOLIC
CHURCH VAAPOSTORA VEAFRICA.’Ndakati,kuno mumwe wavakuru,wakanga agree
pedyo
neni anonzi Loveless Manhango, ‘Shamwari,izwi rabva kudenga warinzwa here?Iye
akati,’Kwete.Ndakati kwaari, ‘Izwi rabva kudenga kuna Mwari rati, ‘THE AFRICAN
APOSTOLIC CHURCH,VAAPOSTORA VEAFRICA.Wakati kwandiri,’Mudzidzisi,izwi iri
zvino munofunga rinorevei?Ndakati kwaari,’Ndiro zita rechechi yedu,raburuka richibva
kudenga
kuna Mwari.Iye akati, ‘A’ chichi yatiri kutizve tiitire,imi muchingoramba.Ndakati,
‘Ndizvozvo
hazvo,asi izwi ndizvo zvandanzwa richitaura richibva muna Mwari wedu.
KUNODIWA GUMI NAVAVIRI
Mumwe musi usiku ndivete mumba mangu,ndakaona mukuzarurirwa,muti womuchero
wemupeaches wakamira pamabvazuva,munhandare yomusha wedu.Ndakabuda mumba
ndichienda pauri ndokuona mafurutu akasvibira,ari mumuti womupeaches uyu.Ndakaverenga
ndichibata namaoko ndokuona kuti aive matanhatu akabatirira pamuti,pamapazi kamashizha
senguva dzose.Ndava kubva pamuti uyu,kuti ndidzokere kumba,ndakazonzwa izwi,raMambo
wepasi pose richibva mudenga richiti, ‘Kunodiwa gumi navaviri.Ndakatendeuka
ndokudzokera
pamuti uya ndokuverengazve,mafurutu aya,ndokuwana zvino pave namamwe matatu,achibva
zvino ave mapfumbamwe.Ndakapepuka ndokupfugama ndichinamata Mwari.Zvino
ndakaziva
kuti Mwarinoda kuti tivake chichi yaVapostori sezvo Shoko ,raiye Ishe rakati,’Kunodiwa
gumi
navaviri.
NDINODA KUITA CHECHI
Kunyangwe zvakadaro handina kumbova nepfungwa yokuita chichi.Takaramba
tichingopinda
minamato yedu Chitatu neChishanu Mauro,vhiki rimwe nerimwe.Muminamato iyi Ishe Jesu
waibata nesu.Mambo waiperekedzera zvidzidzisi zveizwi rake,zviratidzo zvikuru
zvizhinji,nezvishamiso,zvichiitwa pakati pavanhu nezita rake.Nomusi weSvondo,taipinda
kumasangano edu akasiyana kuEngland,vamwe kuMethodist church.Mumwe musi
ndakazarurirwa,ndokuona munguva yousiku,ndichirota ndava muCourt House
muEnkeldoorn,yava kunzi Chivhu,guta reCharter.Ndavamo ndakaona majesitiriti ari kuseri
kwekaunda ndikati kwaari,’Ndinoda tender yokuita chichi.Iye
akati,’Kwete,handikutenderi.Pakarepo timire kudaro,ndakaona muturikiri womucourt
achipinda
nomukova wemberi wakanga Wapinda nomubati.Wakati kumubati,’Ko,uyu munhu anodeiko
muno?Iye akati,’Wati anoda chichi?Akati,’Ko magomuti kudii?Mubati
akati,’Ndamuti,”Ndamuti,”Hapana munhu mutema anobvumirwa kuita chichi.”Muturikiri
womucourt akati,’Kwete my worship,hapana munhu anorambidzwa kuita chichi nokuda
kwokuti
munhu mutema.Zvi mubati wakatendera kuti ndiite chichi akati kwandiri,’Ndipe bhuku
rako.Ndakamupa note book yandaiva nayo muruoko,akazarura ndokuita maright matatu
akaita
sezvizvi.Matsvunha matatu.
Wakapfiga note book iyi ndokundidzosera.Ndakagamuchira ndichibva
ndapepuka,ndokunamata,ndichikurumbidza Mwari zvikuru.Nechizaruro ichi
chechitatu,mwoyo
wangu wakaziva zvino kuti Mwari wandituma kuti ndivake naye kereke yomuchinda wake
Jesu
muno muCentral Africa.Saka nokudaro muchirimo chikuru mugore ra1959,chichi
yaVaApostora
veAfrica yakatanga kurongwa.Ini seNhume,(Bishop)ndakaronga vatungamiri vose,vokutanga
ndokuvazodza nokuisa maoko angu pamusoro pavo.Loveless Manhango samufundisi,Josefa
Chakawa somuvhangeri,Samuel Manhango somuporofita,Thomas Chisango somunyori.Izvi
ndakaita ndapiwa tender naIshe Neshangwe,naD.C we Charter District.Zvino takatanga
kubhabhatidza vanhu vose muzita raBaba near Mwanakomana neraMweya
Mutsvene.Takafamba
kumatunhu ose eCharter neBuhera tichiparidza nokubhabhatidza nokuporesa.Chechi
yakakura
ikazara nyika yose yeRhodesia iyo yava kunzi Zimbabwe.
BY ALI SAINI

You might also like